Zvinorevei kuti “Zvakazarurwa”?
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Kune zvakavanzika zvakavanzwa muBhaibheri zvatinofanira kunzwisisa kuti tigadzirire Kuuya kwaIshe Jesu.
- Zaruriro haigoni kufuratira kana kurwisa Magwaro
- Zaruriro dzinobva paMagwaro, kwete pamazano ane mbiri
- Ibwe redu ndiyo zaruriro yekuti tinofunga kuti Jesu ndiyani
- Chiratidzo (segore remuna 1963) hachisi chiitiko chaicho
- Tinofanira kutenda kuti Bhaibheri reKing James Vhezheni rakarurama
- Tinofanira kudzidza kumirira Mwari, kwete kuedza kuudza Mwari zvekuita
- Dzidzai nguva dzose. Kunyengerwa kukuru kunotipofomadza kuti tisaone kukundikana kwedu
- Zvakazarurwa zvinobudirira nekukurawo kunoita kunzwisisa kwedu
- Zaruriro dzinozivisa nzira dzebhaibheri
- Kana kereke iine nguva nomwe, zvinorevawo kuti maJuda aivewo nenguva nomwe
- Zaruriro dzinoratidza kuti Nyasha ndiko kuzadziswa kweMurairo
- Jesu anofanira kuva ndiye watakatarira nguva dzose, kwete munhuwo zvake
Zaruriro haigoni kufuratira kana kurwisa Magwaro
Tinorevei kana tichiti “zvakazarurwa”?
Tarisai tsoro inonzi jikizo pazero. Ine zvidimbu zvakawanda zvakasiyana siyana. Asi kungori nenzira imwechete yekubatanidza zvidimbu izvozvo kuti chidimbu chimwe nechimwe chikwane pamufananidzo unobuda pekupedzisira.
Zvidimbu zvejikizo pazero zvinomiririra mavhesi eBhaibheri. Kana munhu akagona kubatanidza Magwaro zvakanaka kuita nzira inofamba neBhainberi, ipapo chete ndipo paanogona kuona mufananidzo wakajeka wedzidziso. “Mufananidzo wakajeka” ndiwo zaruriro.
Kana kuine Magwaro aunofuratira pamaonero ako, zvinoreva kuti wakatapwa nekushaiwa zivo kwako.
Muhupenyu, chiedza chichena chinopatsanurwa kuita ndudzi dzemavara manomwe kana chikateiwa kaviri neinonzi tiraiengura girasi purizimu.
Jesu ndiye chiedza chenyika.
Akarambwa ari munhu paCalvari nemaJuda. Akarambwa zvakare ari Shoko rechokwadi paKanzuru yeNicaea mugore AD 325 apo kereke yakagamuchira dzidziso yeTiriniti.
Bhaibheri raive risisatorwi seMukuru nekuti Tiriniti inoda mazwi mazhinji kwazvo asimo muMagwaro kuti itsanangurike.
Dzimwe dzidziso dzisimo muMagwaro dzakafanana neKisimusi, Chishanu chakanaka (Good Friday), Masi, Bhishopu ndiye m usoro wekereke, uye kuti zvakataurwa naPope zvinotsiva Magwaro. Saka hazvishamisi kuwana makore 2000 enhorondo yekereke akapatsanurwa kuva nguva nomwe dzemakereke dzakasiyana. Munguva imwe neimwe, kereke yaifanira kukurira zviitiko zvenguva, kukanganisa nekurwisa kwaSatani.
Kana nzira dzeMagwaro dzakaita senguva nomwe dzemakereke dzikapindirana nemirawo yehupenyu, zvinotibatsira kuti tiwane zaruriro dzakakwana dzemazano aMwari.
Kana mukatevera pafamba nedanga remombe munoguma madya guruva, sezvinoita mhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka.
Vanhu vakawanda vanotenda zvinotendwa nevamwe vanhu. Tinozvidaidza kuti kuita kwedanga rimwe.
Tinokurudzirwa kwazvo nevanhu vakatipoteredza vashoma vanozvifungira.
MaKristu nhasi anotaurirana kupfurikidza kunyorerana panharembozha “kutumira zvabva kune vamwe” apo vanopanana mifananidzo nezvimwe zvakataurwa nevanhu. Zvakataurwa izvi zvinogona kuita zvechokwadi asi zvinenge zvakafungwa nemunhu. Saka hakusisina munhu anozvifungira pachake. Tinova maKristu edanho repiri. Semaparoti shiri dziya dzinotaura, tinongodzokorora nekutaura zvataurwa neumwe munhu. Tinoda kwazvo “zviridzwa zvekanguva kaduku”. Kazhinji zvinotora moyo asi zvisina kurangarira kwakadzama kuri mazviri, sezvo zvichingosimbisa zvatagara tichiziva.
Njere dzedu dzakadzidziswa kufuratira muono wakadzama unouya pamusoro peMagwaro. Izvi kwatiri zvinoita sekuti ibasa rakakurisa.
“Ndinofanira kuziva here?” ndizvo zvinotaura vasikana mapenzi.
Chavanongoda imhinduro yekukasika, yakapfava uye isina kuoma inovaitira. Hakuna chakadzama chinovavhundutsa nekuti zvese zvakadzama ndizvo zvinoburitsa pachena kushaiwa zivo kwavo pamusoro peBhaibheri.
Nzira inotisvitsa pakunzwisisa Magwaro zvakadzama inoda minamato mizhinji, kunzvera Magwaro, nekudzidza. Tinogona kuwana zano kubva kumunhu, asi kutsigira zano iroro neMagwaro zvinoda basa guru.
“Ndinofanira kuziva” ndizvo zvinotaura Mwenga.
Hakuna nzira yakareruka inosvika pamusoro pegomo. Asi zvaunoona nemaonero aunenge wakuita uri pamusoro pegomo anoita kuti kushinga kwako kwawaita pakukwira kusaendere pasina.
Vanhu vazhinji vanotenda muKisimusi.
Asi havagoni kutsanangura kuti nei Bhaibheri risingati vanhu vapemberere Kuzvarwa kwaJesu. Vanobva vataura zvikonzero zvisimo kuedza kureverera zuva remusi wa 25 Zvita. Zuva iri rinouya kubva pamhemberero dzemapegani dzekuzvarwa kwamwari wezuva rakatangwa neMubati weRoma yemapegani Aurelian mugore AD 274. Aive auraya Bhishopu weRoma mazuva matatu izvi zvisati zvaitika. Iye pachake akazouraiwa mugore AD 275.
Negore rinenge AD 350, bhishopu weRoma, Jurio I akatora tsika kana kutevedzera zuva 25 Zvita kuriita zuva rakaberekwa Mwamakomana waMwari. Rinodaidzwa nezita risimo muMagwaro rekuti “Kirisitu masi”. Rakazoitwa “Kisimusi” isimo muMagwaro. Jurio akafa makore maviri akatevera muna AD 352. Saka rufu rwakakasika kutora varume vaviri vaive vatanga tsika iyi isimo muMagwaro yakutonga mumakereke nhasi nekuita Bhizimisi guru. Nekuita Kisimusi, vemasangano anopikisa chiCatholic vari kunyengerwa kusvika pakupemberera masi yeCatholic. Mubatanidzwa wekukanganisa kwemusanganiswa webhiza jena nebhiza dema remadhimoni makuru emari.
Antikristu haasi munhu, mweya.
I JOHANE 4:3 Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika
Asi hatigoni kutaura musiyano uri pakati pemweya mumwechete nemweya mizhinji.
hatitorina mazwi akakwana ekutsanangura nzvimbo dzemweya zvakanaka.
MARKO 5:8 Nokuti akati kwaari, buda pamunhu iwe mweya wetsvina!
Izvi zvinoita sekuti mweya Mumwechete.
Asi mutsara unotevera inoita semweya mizhinji.
MARKO 5:9 Akamubvunza akati, zita rako ndianiko? Akati kwaari, Regioni ndiro zita rangu nokuti tiri vazhinji.
“Zita rangu” rimwechete. “Tiri vazhinji” muhuzhinji.
Madhimoni akawanda zvekupinda munguruve 2000. Boka guru rinodaidzwa kuti “Mweya yetsvina.”
MARKO 5:13 Akaitendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve. Boka rikamhanyira kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikafira mugungwa.
Asi “mweya waantikristu”
I JOHANE 2:18 Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.
Ndapota rangairirai, Bhaibheri harina kubvira rati “Antikristu mumwechete”
Bhaibheri rinoti “vanaantikristu” vaivepo makore 2000 akadarika.
Kereke yeRoman Catholic ndiyo yega bato panyika rakapona pakuparara kwehushe hwemapegani.
“Mweya waantikristu” hauna kufa. Munhu anofa asi mweya wake unoramba uchirarama.
Kisimusi muenzaniso wenzira yatinosiya nayo Magwaro tichitevera chitendero chine mbiri chatinodzidziswa nevanhu.
MaPope akatidzidzisa Kisimusi, kunyange dai mubati weRoma yemapegani Aurelian akatanga pfungwa iyi aive muurayi wemaKristu.
Izvi zvinoreva kuti Kisimusi haisi zaruriro yeMagwaro. Zano reKisimusi musi wa 25 Zvita inongotirasisa kusvikira tagadzirisa tsananguro dzechipegani.
Zaruriro dzinobva paMagwaro, kwete pamazano ane mbiri
Jesu aida kuziva kuti nheyo dzekutenda kwevadzidzi vake dzaive papi. Magwaro kana kuti mazano evanhu ane mbiri?
Saka Jesu akatanga kuvabvunza kuti vamwe vanhu vaitii nezvake.
MATEO 16:13 Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipo, Akabvunza vadzidzi vake akati, vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?
14 Vakati vamwe vanoti Johane Mubhabhatidzi, vamwe Eria, vamwe Jeremia kana mumwe wavaporofita.
Pakarepo vakataura mhinduro zhinji, pasina chaive chechokwadi. Izvi zvakaratidza kuti zvaive nyore sei kuti titerere mazano evanhu akaipa. Vadzidzi vose vakataura zvakasiyana, mazano asiwo aive nevanhu. Vachitya kuzvifungira, vakangotaura zvaive zvichitaurwa nevamwe vanhu zvavaifunga kuti zvakanaka.
Asi, kune masangano emakereke anosvika 45 000 akasiyana siyana nhasi uno. Vese vane mafungiro nemazano akasiyana pamusoro penhau dzakati kuti. Saka panofanira paine kuipa kukuru kuri kutenderera mumakereke panyika.
MATEO 16:15 Akati kwavari, ko imi munoti ndini ani?
Zvino Jesu akajekesa. Haafadzwi nevadzidzi vanodzokorora zvinhu zvinotaurwa nevamwe vanhu.
Mudzidzi umwe neumwe anotenda zvipi?
Munotenda zvimwe zvinhu nekuti hama Branham vakazvitaura here? Asi chero muprofita anokanganiswa.
Munotenda zvimwe zvinhu here nekuti mufundisi kana pasita wenyu akazvitaura? Kereke yenyu inotaura kudaro?
Izvi zvinokuitai paroti, kwete gondo.
64-0614 BHORA RAKASIYANA
Ndizvo zvandakaudzwa nemutumwa, “Ita kuti vanhu vatende zvaunotaura”.
Saka kana ndikataura Shoko raMwari, handisi kuti “Tendai mandiri” asi ndiri kuti “Tendai kuShoko raMwari”.
Nemakumi ezviuru mazhinji endudzi dzemakereke akasiyana, hamugoni kuti kune kereke ine chokwadi chakazara. Mapasita anopokana.
Baba vako vanotaura kudaro? Murume wako anotaura kudaro? Mukadzi wako anotaura kudaro? Vana vako vanotaura kudaro? Shamwari yako inotaura kudaro?
RUKA 14:26 Kana munhu achivuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanu’una, nehanzvadzi, kunyange novupenyu bwake vo, haangavi mudzidzi wangu.
Hakuna chakanakira kuva nhengo yechero mhuri.
Zvese zvinodzokera pakuti iwe unotenda zvipi uri munhu akazvimiririra.
1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9 KEREKE YENGUVA YERAODIKIA
“Tsungirirai mutendeuke.” Zvino kereke yenhema iyi ine hushingi; musakanganise ipapo. Kushinga kwayo kwakava kuya kwemaJuda, Johane 2:17, “Kutsunga kwemba yako kwandimedza.” Asi kutsunga kwakaipa. Ndekweimba yavakazvivakira ivo. Ndekwedzidziso dzavakazviitira ivo zvavanoyeresa ivo, bato, nekururama kwavo ivo. Vakaisa Shoko kuti rive mazano avo ivo. Vakabvisa Mweya Mutsvene vakaita vanhu vatungamiri vavo.
Vakaisa Hupenyu husingagumi parutivi seMunhu, vakahuita mabasa akanaka, kana kuti kubvumira kwekereke pachinzvimbo chekuva basa raMwari.
Saka, kana vakanzi vataure zvavanofunga ivo, mudzidzidzi umwe nemumwe akanyarara. Vaitya kwazvo kuti vaudzwe kuti vazvifungire.
Petro ega ndiye akaita simba rekutaura zvaaifunga iye pachake.
MATEO 16:16 Ipapo Simoni Petro akapindura akati, ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
Petro aive nezaruriro yakajeka yekuti Jesu aive ani.
MATEO 16:17 Jesu akapindura akati kwaari, wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar-Jona nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo asi Baba vangu vari kudenga.
Jesu akafadzwa nazvo. Petro aisatenda nekuti mumwe munhu aive amuudza kuti atende. Mwari akanga apa Petro zaruriro yakazara.
Ndicho chakavanzika chezaruriro. Kana Mwari avhura kunzwisisa kwako kuti uzvionere.
MATEO 16:18 Neni ndinoti kwauri ndiwe Petro, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuvo eHedesi haangaikundi.
Petro akaziva kuti Jesu aive ani. Munhu aive Mwanakomana aigara Mweya waMwari unoshamisa.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Mune ndangariro dzamunogona kutonga nedzamusingakwanisi kutonga. Asi muri munhu mumwechete.
Jesu ane ndangairiro dzenyama nedzemweya unoshamisa. Ndiye zvese Munhu naMwari.
Nekudaro Jesu, akaziva kuti Petro aive ani, “petros” zvinoreva kuti dombo.
Dombo ibwe duku.
Petro aive nezaruriro yekuti Jesu aive ani. Zaruriro iyoyo yakaita kuti Petro ave ibwe rinorarama, chidimbu chiduku cheTembere yaMwari kana imba inovakwa kubva pamabwe anorarama anozoponeswa nekuumbwa mumakore 2000 enhorondo yekereke. MuKristu mumwe nemumwe akazvarwa patsva anofanira kuwana zaruriro yekuti Jesu ndiyani, ndiye Shoko raMwari rakaziviswa kunguva yake. Ipapo chete ndipo apo Mwari anokwanisa kuvashandisa kuvaka Muviri wake, kereke yechokwadi.
I PETRO 2:5 Nemi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuPrista vutsvene,
I VAKORINTE 12:27 Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe, nomumwe mitezo yawo.
Petro akaziva Jesu ari Munhu.
Tinofanira kuziva Jesu seShoko rakaziviswa kuzuva redu.
MuKristu mumwe nemumwe anofanira kuwana zaruriro pachezvake pamusoro paJesu kuitira kuti azive paanokwana muMuviri wake, kereke.
Mabwe ose (maKristu akazvimiririra) anobatana pamwechete kuita Ibwe, Jesu Kristu.
Ibwe redu ndiyo zaruriro yekuti tinofunga kuti Jesu ndiyani
1 VAKORINTE 10:4 Vose vakanwa zvokunwa padombo romweya rakavatevera; dombo iro rakanga riri Kristu.
Ndiye Shoko rakaziviswa kuzuva redu.
Zaruriro inoshamisa chete, inopihwa munhu akazvimiririra naMwari, inokwanisa kuvaka kereke.
Hazvisi zvinotaurwa nevamwe. Ndezvamunotenda pasi pasi pemoyo yenyu.
VAEFESO 2:21 Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari.
22 Maari nemi vo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya.
Mweya unotipa zaruriro yeMagwaro iyo inotiita kuti tive chikamu chekereke yake yechokwadi.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose:
Mwari ane zano guru kudarika zvatinoona pazviitiko zvinotiwira nhasi uno. Tinoda zaruriro dzezvakavanzika zveMagwaro (Ibwe rechokwadi) kuti tizive kuti tinokwana papi pazano Guru raMwari.
VAHEBHERU 11:40 nokuti Mwari wakanga atigadzirira chimwe chinhu chinopfuvura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu.
Testamente Itsva inofanira kuzadzisa Testamente Yekare.
Nguva yekereke yekupedzisira, kana mbeu yakohwewa inofanira kufanana nenguva yekereke yekutanga yakadyara mbeu.
VAGARATIA 1:11 Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Evhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu.
Hakuna munhu wenyama anokwanisa kufunga zano rakadzama kudaro rinobata kwezviuru zvemakore.
VAGARATIA 1:12 Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
Pauro akagamuchira zaruriro kubva kuna Mwari pachake, aifanira kuteya nheyo dzenguva nomwe dzemakereke dzakasiyana.
Dambudziko guru nderekuti vanhu vanotsvaga Jesu nekuda kwezvido zvavo zvakawora. Vanhukadzi, mari, kana mbiri. Havana rudo rwakadzama rwekuwana chokwadi.
JOHANE 6:26 Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
Vanhu havadi zaruriro yechokwadi chemuBhaibheri. Vanoda makomborero epfuma yepasi rino zvavanowana kuna Mwari.
Chero minana yaMwari inovasiya vasingafari kunze kwekunge vawana chimwe chinhu kubva kuminana iyoyo.
JOHANE 6:29 Jesu akapindura akati kwavari: Basa raMwari ndiro; kuti mutende kuna Iye waakatuma.
Basa raMwari rechokwadi kuziva mutumwa mumwe nemumwe anotumwa naMwari kunguva imwe neimwe yekereke. Naizvozvo tofanira zvakare kunamata kuti tiwane zaruriro yekuti Mwari ari kuedza kuitei munguva yedu.
Tinoda zaruriro yemufananidzo wenguva yekupedzisira nezviprofita zviri muMagwaro, kuti tinzwisise nzvimbo yedu mumuono mukuru waMwari.
Kunyanya, kana pasina chimwe chezvakaprofitwa pamusoro penguva yekupedzisira kana mufananidzo unotaura chinhu chakanaka pamusoro pekereke yenguva yekupedzisira. Hakuna kereke yeMharidzo kana sangano rekereke rinodaro.
Chiratidzo (segore remuna 1963) hachisi chiitiko chaicho
JOHANE 6:30 Zvino vakati kwaari; munoita chiratidzo chipiko, kuti tivone, tikutendei? Imi munobateiko?
Vanhu havana kutenda kwechokwadi mune zvakazarurwa zvezvakavanzika zveBhaibheri. Vanotsvaga zviratidzo zvakasarudzika zvavanobatira pazviri.
Vanhu vemharidzo havana kubvira vaziva kuti Gore rinoshamisa rakaonekwa muna 1963 chaive chiratidzo kudenga (kana makore ekumusoro) Jesu, Mwanakomana weMunhu, aizoziviswa muShoko nezaruriro yeZvisimbiso zvinomwe. Vakanyengerwa vakafunga kuti Gore iri chaive chiitiko vakasarudza kuti chaive chiitiko cheKuuya kwaShe kana kuburuka kweMutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10. vakakanganisa kuona vakatora chiratidzo sechiitiko.
65-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI
Zvino munzvimbo yavaiongorora zviitiko zvikuru izvi,kuti nyika haizowani chiro, vachiri kushamiswa nekushaiwa kuti chii chakaitika. MuTuckson, vaiita ongororo huru vakatora mifananidzo yaro riri kumusoro uko; vachiri kushamisika kuti chii chakaitika. Chaimbova chii? Vachiri kuzviisa mumapepa, “Kune here munhu anoziva kuti chii chakatora nzvimbo, kuti zvakaitika sei?” kwaive kusina mhute kumusoro kudenga, kusina mhepo, kusina hunyoro; mamaira makumi matatu muchadenga. Oh maihweee!
Kuchava nezviratidzo muchadenga. Kana izvi zvikaitika, kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana siyana, kuchaonekwa chiratidzo kudenga cheMwanakomana wemunhu.” zuva iroro,” kuna Ruka, “Mwanakomana wemunhu achazviratidza zvakare; achizivisa iye pachake.” Nyika ichava seSodoma neGomora. Oh, maihweee!
Johane Mubapatidzi akazivisa Jesu seMwanakomana weMunhu pakati pevanhu.
Hama Branham, mumashure mekuziviswa kwezvisimbiso zvinomwe, vakazivisa Jesu seMwanakomana weMunhu achifamba mumapeji eBhaibheri. Kekutanga, vakakwanisa kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri zvakajeka.
Mwari akapa maJuda mana murenje. Vakatora izvi sechiratidzo chekuti Mosesi akavaita vanhu vakasarudzika. MaJuda vakatanga kusimudzira Mosesi, sekunge ndiye aive avapa mana.
JOHANE 6:31 Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.
MaJuda akatarira Mosesi murenje uyo, vaitenda, kuti aive apa maJuda mana yavo yemazuva ose kana kuti chekudya chaibva kudenga.
Kwavari, chaive chiratidzo chekuti Mwari aive naMosesi. Saka maJuda ese aifanira kutevera Mosesi. Vaisada kuisa meso avo pana Mwari.
JOHANE 6:32 Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Wakanga asi iye Mosesi, wakakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chazvokwadi, chinobva kudenga.
Jesu akavagadzirisa. Mwari akashandisa Mosesi semutungamiriri mukuru. Asi mana yakadonha kubva kudenga yakabva kuna Mwari, kwete kuna Mosesi.
MaJuda vakafadzwa kwazvo nemana yaive chekudya chaivapa hupenyu hwenyama ino.
Asi maJuda mumazuva aJesu vaive vakanganwa kuti hakuna pakati pemaJuda iwayo aizopinda munyika yechipikirwa kunze kwa Joshua naKerebu.
VaJuda ane muono wakaneteswa. Vaive mushishi rekusimudzira Mosesi. Vanhu vanoda kunamata nekusimudzira vanhu vanenge vaita zvinhu zvikuru. Asi Mosesi pachake haana kukwanisa kupinda munyika yechipikirwa.
Saka, Jesu aida kuti maJuda abvise meso awo pavanhu vanotungamirira votarira kwaari.
Munhu anokundikana. Havana kururama. Kristu chete, Shoko rakaziviswa, ndiye anokwanisa kuvimbwa naye oga.
JOHANE 6:35 Jesu akati kwavari: Ndini chingwa chovupenyu; unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
Asi Jesu akataura nezvake Iye, seShoko raMwari, ari Chingwa cheHupenyu. Kana mangoita zaruriro yechokwadi cheMagwaro, zaruriro yemukati iyoyo inokubatsirai nekuti zaruriro yechokwadi inoramba ichizivisa chimwe chinhu chakadzama.
Tinofanira kutenda kuti Bhaibheri reKing James Vhezheni rakarurama
JOHANE 6:44 Hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
Tinowana chokwadi chakadzama nekutsungirira kwedu. Mwari ega ndiye anogona kutikwezva kuti tisvike pachokwadi. Anoita izvi nekutiita kuti tifadzwe nekuzivisa mazano ake akadzama ehunhu. Isu tinoshamiswa nekufunga kwake uye tinoda kugona kufunga saye. Tinobva tatsvaga Magwaro kuti tiwane zvizhinji.
JOHANE 6:45 Muvaprofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kunaBaba, akadzidza, unovuya kwandiri.
Tinofanira kuda kwazvo kudzidza Magwaro. Tinofanira kutenda kuti Shoko rimwe nerimwe muBhaibheri nderechokwadi. Tinofanira kugamuchira kuti vhezheni reBhaibheri reKing James regore 1769 ndiro Mukuru. Nheyo dzekutenda kwedu.
ZVIREVO 30:5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa;
JOHANE 6:53 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana musingadyi xS nyama yoMwanakomana womunhu, nokumwa ropa rake, hamunovupenyu mamuri.
Bhaibheri rakazara mavhesi akaoma kunzwisisa. Anoratidza kunzwisisika chete kana tikaatarira takanangana nemuono mukuru waMwari.
Kereke yakatanga zuva rePentekositi.
Saka, kereke haioni Kristu semunhu, asi tinomuona seShoko raMwari.
Nyama yake mucherechedzo wemavhesi eBhaibheri. Tinofanira kudya nekudzeya Magwaro kusvikira tava nekunzwisisa kuti anorevei.
Mweya ndihwo Hupenyu. Hupenyu huri muRopa rake.
Kunwa kunoita chimwe chinhu chive chikamu chedu. Ropa rake rinofanira kutinatsa mukati kati medu kubva kuzvivi nekusatenda. Ipapo hupenyu hunenge huri muropa redu hunotipa zaruriro inoziviswa yezvinoreva Shoko rake.
REVITOKO 17:11 Nokuti upenyu hwenyama huri muropa;
Pamunodya chikafu, munokura panyama.
Zaruriro yekuti una Jesu inobva pakuwanda kweMagwaro amunoverenga muchitenda maari.
Izaruriro yemukati iyi inogona kukuisa panzvimbo pako muMuviri waKristu.
JOHANE 6:60 Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndianiko ungarinzwa?
Kune Magwaro mazhinji akaoma kunzwisisa. Mamwe Magwaro anoita seanorwisana. Mamwe Magwaro anoita seakarasika vanhu vosarudza kushandura mazwi awo. Uku kukanganisa kukuru.
JOHANE 6:61 Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumoyo make kuti vadzidzi vake vanon’un’una neshoko irero, akati kwavari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi?
Jesu anotiedza. Tinorwadziwa here nezvatinoverenga mumavhesi akaoma kunzwisisa anobva muBhaibheri?
Bhaibheri rinotadza here nekuti mafungiro edu sevanhu akaisirwa muganhu kana kuti ndisu tisinganzwisisi?
Tinozvitutumadza here pakunzwa kunge takachenjera kusvika pakunzwisisa Bhaibheri nezvese zviri mariri muzvikamu zvekushaiwa zivo kuripo nhasi uno?
Kana tichipokana neMagwaro akaoma kunzwisisa, takafanana nemakondo anotendera mapapiro awo kugurwa.
Kugura mapapiro egondo zvinoreva kuti unoguma wava negarikuni.
Garikuni rinodyiwa musi weKisimusi.
Kisimusi izwi risimo muMagwaro. 25 Zvita musi usimo muMagwaro. Hatina kubvira taudzwa muBhaibheri kuti tipemberere Kuzvarwa kwaShe.
Munhu wese anozadzwa “nechokwadi” chake oita musungwa wekuda kwake nechinzvimbo chake. Anobva aisa zano rake rakaipa nekusagutsikana kwake mune dzimwe nhau dzeBhaibheri kuti adzikakanise zvakare. Chinhu chinotevera chavakaburitsa chaive “Chishanu chakanaka (Good Friday)” chisimo muMagwaro zvakaita kuti netsananguro idzi Jesu asakwanise mazuva matatu ari muguva.
Munhu akaputirwa mukusaziva kwake zvinomuita pasuru duku.
Mbudzi inodya payakasungirirwa.
JOHANE 6:63 Mweya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya novupenyu.
Hakuna nhaka kunyama, zvinomiririra kuedza kwedu sevanhu venyama. Kufunga kwenyama hakugoni kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro.
Mweya waMwari chete ndiwo une simba. Unokudzidzisai kuti Shoko raMwari rakanatswa. Saka tinofanira kuramba tichitsvaga nekunamatira kuti Mwari azivise Magwaro akaoma kwatiri. Tinonozofanira kushandura nzira dzekufunga kwedu kusvikira tagona kunzwi sisa Bhaibheri. Hatifaniri kushandura Bhaibheri kuti rienderane nemiganhu yemafungiro edu.
JOHANE 6:65 Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana asina kuzvipiwa naBaba.
Hatigoni kunzwisisa chokwadi nekuita kwekurangarira kwedu.
Mwari anofanira kutizarurira chokwadi.
JOHANE 6:66 Kubva panguva iyo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye,
Vadzidzi vaida kwazvo kuzviwanira uye minana sebairo wekutevera Jesu. Vaive vasingafadzwi nechokwadi, kunyanya kana vaifanira kufunga zvakadzama kuti vanzwisise chokwadi.
Vaifadzwa nemichero yaisvikirika, yaitanhika zviri nyore pasina kufunga kwakadzama kwavaiisa pakuitanha.
666 chiverengo chechiratidzo chechikara. Vadzidzi vakamira kutevera Jesu anova Shoko.
vakaedza kunzwisisa chokwadi, aasi pazvakaoma, vakabva kwaari, Iye Shoko.
Nhasi, kana tikashanduka, tikafuratira, kana kupokana neMagwaro, tinenge tatora chiratidzo chechikara.
Kereke imwe neimwe inoudza vanhu kuti hazvigoni kuwana Bhaibheri rakarurama.
Vanhu havahatsungiriri kuti vanzwisise chokwadi nekuyananisa mavhesi eBhaibheri pamwechete.
Saka, tinorarama munguva iyo zvakataurwa nevanhu zvakashandiswa kutsiva Magwaro vanhu vachisiiwa nekufungidzira kuti zvichida ichokwadi.
Kereke imwe neimwe hutungamiri hwayo hune
kudhonzerana pasimba uye huwori.
Vanhu vanowodza matsime esimba kuti aringane nekuda kwavo.
I SAMUERI 3:7 Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJEHOVA rakanga richigere kumuziviswa.
Kusvikira tazivisa Bhaibheri, hatizivi Mwari. Tine kakufungidzira kuti tiri kutevera Mwari.
DANIERI 2:27 Danieri akapindura mambo, akati, "Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n’anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo;
Kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro ndicho chinhu chekuti vanhu vakachenjera, vesainzi, nemakereke havagoni kutipa. Hakuna munhu akagona kudavira mubvunzo wamambo. Nhasi vanhu havagoni kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro nezivo kana huchenjeri hwevanhu. Zvisinei nekuti vaedza zvakadii.
DANIERI 2:28 asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhovo dzenyu, hezvi;
Mwari pachake anogona kuivisa zvakavanzika kumunhu akazvimiririra.
Mwari pachake anogona kutizivisa Zano Rake remazuva anouya.
COVID-19 yakapidigura gore 2020 kuriita gore rakaoma kwazvo. Tinoda zaruriro yemukati memoyo inobva muMagwarokana tichida kunzwisisa zviri kuitika zviri nani.
Asi kwagara kune zvimwe zvinhu zvinovanzwa naMwari kusi kwekunzwisisa kwedu.
DEUTERONOMIO 29:29 Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJEHOVA Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.
Kune zvimwe zvinhu zvinoziviswa naMwari, kune avo vanoziva kuterera Shoko rake.
DEUTERONOMIO 29:2 Zvino Mosesi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, "Makaona zvose zvakaitwa naJEHOVA pamberi penyu panyika yeEgipiti kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose;
MaJuda aive muEgipita akaona zvese zvakaitwa naMwari.
DEUTERONOMIO 29:3 Miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru.
Vakaona mashura nezviratidzo. Asi hazvina kuvabatsira.
DEOTRONOMIO 29:4 Asi JEHOVA haana kukupai moyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi.
Vakafadzwa nezviratidzo uye mashura. Asi havana kubvira vaita nzeve dzinonzwa.
Kunguva imwe neimwe yekereke, Mwari anoda kuti vanzwe zvinotaurwa neMweya kwavari kunguva yavo kuMagwaro.
ZVAKAZARURWA 2:7 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke;
Tinoda kunzwa zvinorehwa nemweya kunguva yekereke yekupedzisira. Nekuti hakuna chiprofita kana mufananidzo unotaura nezvenguva yekereke yekupedzisira unotaura zvakanaka kana zvinoirumbidza.
Saka tinofanira kuva takangwarira kwazvo zvatinonzwa tichitevera.
DEUTERONOMIO 29:5 Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguvo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzako.
Mwari akaita mashura mazuva ose pamberi pemaJuda vari murenje. Zuva rimwe nerimwe akaita zvavaida. Chero nguvo dzavo hazina kubvaruka.
Asi maJuda maviri chete pavakuru, Joshua naKerebu, ndivo vakakunda kupinda munyika yechipikirwa.
Mashura nezviratidzo zvakakura kwazvo uye zvinofadza asi hazvisi humbowo hwekuti tiri pakanaka naMwari.
Kukosha hakufaniri kuva pamashura akaitwa muhushumiri hwehama Branham.
Izvi zvaivepo kukwezva vanhu kwaari.
Kukosha kunofanira kuva pasimba redu rekugona kunzwisisa zvakavanzika zvaaizivisa.
Tinogona here kutsanangura zvakavanzika izvi nekuyananisa mavhesi eBhaibheri toita nheyo dzeMagwaro pane zvese zvatinotenda mazviri.
MAPISAREMA 25:14 Zvakavanzwa zvaJEHOVA ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake.
Tinofanira kudzidza kutya Mwari neBhaibheri. Hatigoni kuisa zvakataurwa nevanhu pamusoro peMagwaro.
Zvakataurwa nevanhu hazvigoni kutsiva Magwaro.
Zvakataurwa nehama Branham zvakatumirwa kutsanangura Magwaro, kwete kuatsiva.
Magwaro anofanira kugara ari ndiwo Makuru. Tinofanira kutyora kunzwisisa kwedu kusvikira kwakugona kufambirana neMagwaro. Hatifaniri kuedza zvachose kuita kutI Bhaibheri ndiro rireve zvatinoda kana kufuratira Magwaro kuti tiyananisire mazano edu.
AMOSI 3:7 Zvirokwazvo, Ishe JEHOVA haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Kutora bhuku reZvisimbiso nekurizarura kuratidza mutumwa wechinomwe, nekuda kweizvi zvoga, zvakavanzika zvaMwari, ndizvo zvakavanzika zvemutumwa wechinomwe.
Hushumiri hwehama Branham hwaive hwekuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri kuti tidzorerwe kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga. Zvimwe zvese zvavakaita, zvisinei nekuti zvaive nesimba rakadii, zvaive zvisina kunyanya kukosha.
MATEO 17:11 Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose
Hama dzaJesu, padzaive paKana, vakamuudza kuti aende kumutambo waive Jerusarema.
JOHANE 7:6 Ipapo Jesu akati kwavari: Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
Jesu akataura pachena kuvakoma vake achiti, “Hazvina musiyano wazvinoita pamuri kana mukaendako. Kusvika kwenyu hakuna wakuchafadza pakati pevatsigiri venyu kana vanokupikisai.
Vakoma vake vaive vakasununguka chero nguva kuzviratidza nekuratidza mabasa avo kunyika. Vaitenderana nemafungiro echitendero pamazuva avo. Vaive vasiri zvipingaidzo kuvakuru vezvitendero, saka zvaive zvisina basa kuti vaendeko nekuti hapana chaitadziswa kana kugoneswa nekufamba kwavo.
Kereke haipokane nevasingaipikisi patsika dzayo nekuita kwayo nevasina kupupura kunoizvidza, saka haina kutsamwa kwayo kwainodurura pavari.
Vanhu vasingaburitsi pachena kutadza kwemapoka eMharidzo vane mbiri uye vanorarama hupenyu huri nyore sezvo vasina anovarwisa pakati pevafundisi veMharidzo.
Asi Jesu, nechero munhu anofumura kutadza kwemakereke vanofanira kungwarira. Jesu aiedza kutaura kuti, “Asi ndiri pano kusimudza Izwi rangu ndichipikisa kumhura kwayo, uye kuwisira pasi kutadza kwayo; saka zvakadaro havagoni kugarisana Neni. Chinhu chimwechete chinogona kusimudza kutsamwa kwayo pamisoro yevavenyi vayo nguva isati yakwana”.
Tinofanira kudzidza kumirira Mwari, kwete kuedza kuudza Mwari zvekuita
JOHANE 7:8 Kwirai kumutambo imi, ini handisati ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.
Kukoshesa nguva chaive chinhu chakakosha. Jesu aifanira kuziva nguva yaairarama mairi, aida hutungamiriri hweMweya kuti ofamba nguva ipi. Aisafanira kutevera nekuita kuda kwenyama yake. Aisafanira kuterera hutungamiriri hwevanhu.
Vaya vaifumura kuipa mumakereke emharidzo vaifanira kutsungirira zvavaisangana nazvo kubva pakutsamwa nekupikisa kwekereke. Vaifanira kuva vakangwarira.
JOHANE 7:10 Zvino vanun’una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwira vo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.
Mwari aifanira kuita kuti dzimwe zivo dzive zvakavanzika kusvikira nguva yakaringana yakwana.
Johane akatsanangura chakavanzika cheKutinhira kwekutanga kwakareva Zvisimbiso zvitanhatu zvekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6, zvisati zvararurwa Kudenga.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Johane akaenda kunoona kuti Kutinhira kwakareva kutii. Ipapo chisikwa chipenyu ichi chakaudza Johane kuti vuya uvone chakavanzika chaive muChisimbiso Chokutanga. Kutinhira, Izwi romusiki raive rareva izvozvo. Zvino, aida kuziva kuti chaimbove chii. Amen. Oh Maihwee.
[Kutinhira kwokutanga kwaive chakavanzika. Ipapo Kumwe kutinhira kunomwe kwakareva kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 apo Johane akaudzwa kuti asazvinyora zvakwainge kwareva.]
Asi rangarira, zvino akanyora izvi, asi paakatanga kunyora Kutinhira kunomwe uku, akati, “Usakunyora.” Aive anzi nyore zvose zvaaiveaona. Asi pakasvika Kutinhira kunomwe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 kukareva, akati, “Usazvinyora zvose.” ndizvo zvakavanzika. Hatizivi kuti zvimbori chii nazvino; asi mafungiro anyu ndeekuti zvichaziviswa. Uye kana zvaziviswa, zvichatipa kutenda kwekuti tigadzirire kukwira kudenga mukubwaira kweziso kuti kereke ikwire Kudenga. Tinomgofamba nemunezvatinoziva; kunyangwe mukugoverwa kwose kwatakaona. Takaona Zvakavanzika zvaMwari. Takaona kuonekwa kweungano huru pamwechete kweMwenga mumazuva ekupedzisira, asi zvakadaro kune chimwe chinhu imomo chatisingagoni kuzvijekesera nezvacho. Kune zvimwe zvinhu. Asi ndinofunga kuti kana izvo zvakavanzika zvikatanga kuzviviswa ... Mwari akati, “Mira wakadaro. Mira zvishoma. Ndichazivisa izvi zuva iro. Usakunyora zvachose, Johane, “Nokuti vanokurirwa nazvo. Chingozvisiya. (Mazviona?) Asi ndichazvizivisa muzuva iro razvichada kuti zviitwe.”
Kutinhira kwekutanga kwakareva ndokuteverwa nekutinhira kunomwe. Asi kwose kwakavanzika.
Mwedzi mumwechete vasati vafa, hama Branham vaive vachiri vakatarisira Kutinhira kumwechete kwekutanga.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari wakanaka, munguva ino yakadai, ichava nguva yakaita seino pakuchava nekutinhira kwemabhanan’ana rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga nekudanidzira kukuru, Nenzwi reMutumwa Mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa muna Kristu vachamutswa.
Pano vakaisa zvakare “Kudanidzira” munguva inouya. Asi, vakati “Kudanidzira” ndiko mharidzo. Saka mharidzo yaive isiri pavanozivisa chokwadi. Mharidzo ndeapo nhengo dzeMwenga dzinogona kuzivisa chokwadi pachadzo kubva muMagwaro.
I VAKORINTE 2:7 Asi tinotaura vuchenjeri bwaMwari bwakavanzika, bwakafukidzwa, bwakatemerwa kubwinya kwedu naMwari, nyika isati yavapo;
8 bwusina kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya pamuchinjikwa.
Vatungamiri vezvitendero nevatungamiriri vezvematongerwo enyika mumazuva aJesu vaive vasinganzwisisi kuti Jesu aive ani. Saka, vaimuzvidza kusvika murufu kuti vachengetedze mari dzavo dzavaiwana nesimba ravaive naro pamusoro pevanhu. Jesu akarasira pasi mari dzevaiita pfuma nezvitendero muTembere musi weSvondo yeMichindwi akazviita zvakare Muvhuro wakatevera. Kupindira panhau dzemari dzevanhu vanotungamirira zvitendero kaviri mumazuva maviri. Zvaive zvaenderera. Vatungamiriri vezvitendero zvechiJuda vakamuuraya mazuva matatu akazotevera musi weChina. Musafe makapindira nhau dzemari dzevafundisi kana mapasita.
Vanhu vanotsigira zvakadzidziswa nehama Branham, vachishandisa Magwaro vasingavimbi nezvakataurwa zvakasarudzika, vanotukwa nemapasita emharidzo. Mapasita vanofanira kuita izvi kuti vachengetedze mari dzavo nesimba ravo pamusoro pevanhu.
Hatigoni kurangarira nekuziva Denga.
I VAKORINTE 2:9 Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.
Hatigoni kurangarira kuti Mwari akagadzirira zvakaita sei vatendi vake vechokwadi .
Muono mukuru waMwari uri pamusoro kwazvo pezvatingafungidzira nendangariro dzedu dzenyama.
I VAKORINTE 2:10 Nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwatiri isu noMweya; nokuti Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari.
Tinofanira kuvimba zvakazara kuzaruriro yeMweya Mutsvene kuti tiratidzire ndangariro dzaMwari dzakadzama. Hatifaniri kuzviita tega nendangariro dzedu. Mwari haagoni kutitsanangurira zvakaita Denga nekuti inzvimbo yepamusoro soro kwazvo yatisina simba rekugona kurangarira nezvayo. Uyezve hatina mashoko akakodzera ekutsanangura zvinhu zvedenga.
Asi Mwari ega anotizivisa zviri kuitika pano pasi panyika munguva dzakaoma dzekuguma. Iye ega anogona kutiratidza kuti tiripi toisa nguva dzedu muBhaibheri.
Tinoziva sei kuti Mwari akatidzidzisa chokwadi?
Magwaro akasiyana siyana ese anosvikofambirana nenzira dzeBhaibheri dzakaziviswa. Kuchange kusina Magwaro anorwisa zvatinotenda mazviri.
I VAKORINTE 2:11 Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu, uri maari? Saizvozvo hakunomunhu unoziva zvaMwari, asi Mweya waMwari.
12 Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kunaMwari; kuti tizive izvo zvatakangopiwa hedu naMwari.
Mutendi mumwe nemumwe akazvarwa patsva anogamuchira chidimbu cheMweya waMwari kuti umutungamirire kuti asvike kunzvimbo yake muTembere yaMwari yeMweya yakagadzirwa naMwari kwavari. Asi Mwari anofanira kugadzirira munhu mumwe nemumwe nzvimbo yake muTembere yake.
I VAKORINTE 2:13 Ndizvo zvatinotavura vo, tisingatauri namashoko atinodzidziswa, novuchenjeri bwomunhu, asi anodzidziswa noMweya, tichidudzira zvinhu zvomweya kuvanhu vomweya.
Edzai Magwaro neMagwaro. Batanidzai Magwaro pamwechete kuti muumbe nzira yakadzama yemweya inofamba muBhaibheri. Mwari ega ndiye anokwanisa kunatsa ndangariro dzekuti tinzwisise chokwadi chakadzama.
I VAKORINTE 2:14 Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya.
Ndangariro dzevanhu dzinokwanisa chete kubereka mazano nezvinhu zvenyama zvisingagoni kuturikira zvakavanzika zvaMwari.
Chokwadi chakafanana nekuchekwa nhengo yomuviri. Zvinorwadza asi zvichirapa. Nhema dzakafanana nepiritsi remarwadzo. Rinopodza ipapo asi riine mubairo wenguva refu.
Tinofanira kusarudza. Tinogona kufamba kuenda mberi kunopinda mukukura kana kudzokera shure mukunyengereka kwedu kwekuchengetedzeka kuri mumakereke.
Vanhu vanoona zvavanoda kuona. Zvavanoda kuona hazvina zvizhinji zvazvinazvo zvechokwadi. Vanhu vanonyenyeredza chero mukana wekurwadzisa vanhu asi Mwari.
Mweya Mutsvene wega ndiwo unogona kuvhura meso edu kuzvakavanzika zveBhaibheri zvakadzama.
Dzidzai nguva dzose. Kunyengerwa kukuru kunotipofomadza kuti tisaone kukundikana kwedu
Tinozvinyengera, kuzvitemba kwakanyanya, nekuzvitutumadza ndiko “kunobereka kurasika kwese”.
I VAKORINTE 2:15 Asi uri woMweya unonzwisisa zvose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.
Zvitendero zvese zvinofanira kuedza nekuongororwa neShoko raMwari rakanyorwa.
Shoko rakatongwa pamuchinjikwa rikararama rakabatana norunako rukuru.
saka, Shoko haraizobvira ratongwa zvakare. Kana tikatenda kuShoko raMwari, hatizodi kutongwa nesuwo.
I VAKORINTE 2:16 Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.
Mweya unoshanda mundangariro dzedu. Rubapatidzo rweMweya Mutsvene parunounza Mweya waKristu mundangariro dzedu, Kufunga kwaKristu kunotonga mundangariro dzedu. Hatigoni kudzidzisa Mwari. Asi Mweya waMwari uri matiri wakakosha kana tikabvuma kudzidziswa naMwari.
57-0922 VAHEBHERU CHITSAUKO CHECHINOMWE 2
Kana kereke ino isina kururama, seMweya waive muna Kristu, hamupinde mukukwira Kudenga mukubwaira kweziso.
Kristu aigarodaira mibvunzo nemazwi akasarudzika, “Zvakanyorwa zvichinzi ...”
Nhasi zvakatsiviwa nekunzi, “ndakanzwa zvichinzi”.
Saka nyeredzi (vaparidzi) vakawa kubva kudenga. Vanowa kubva pakudanwa kwavakaitwa nedenga kwekuti vatevere Magwaro.
I VAKORINTE 15:51 Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
Chakavanzika chikuru chiri munguva inouya. Kuuya kwaShe. Chakavanzika ichi chakabatwa neKutinhira kunomwe kwakavanzika. Kutinhira kunomwe kuchabereka kushandurwa kwemiviri yedu.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Zvino kune kuuya kweKutinhira kunomwe kwakavanzika kusina kana kunyorwa. Ndizvo chaizvo. Ndinotenda kuti kutinhira kunomwe uku kuchaziviswa pamazuva okupedzisira kuitira kuti Mwenga auye pamwechete achivinga kutenda kwekukwira kudenga; nekuti chatiri nacho nhasi uno, hatingagoni kuzviita. Kune chimwe chinhu chatinofanira kuita; hatigoni kuita kutenda kwakakwana kuti tiporeswe neMweya mutsvene. Tinofanira kuva nekutenda kwakakwana kuti tishandurwe pakarepo tobviswa panyika ino.
I VAKORINTE 15:52 Pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa;
Hatigoni kutorwa kukwira Kudenga mumiviri yatinayo.
Tinoda muviri mutsva usingavori kana tichida kubuda munguva tichipinda munzvimbo tsvene. Ipapo chete ndipo patinokwanisa kutorwa kunopinda munzvimbo isina nguva kuenda kuChirayiro cheMuchato.
Ramangwana redu rinobva pasimba redu rekugona kunzwisisa Kutinhira kumwechete uye Kutinhira kunomwe kana kukareva manzwi ako atisingazivi.
Kumutswa kwevakafa kuchatanga zviitiko zvenguva yekupedzisira izvi.
Mateo Chitsauko 13 anotaura pamusoro pemifananidzo minomwe inotsanangura nguva nomwe dzemakereke.
Jesu akatanga kutiudza kuti tinoda nzeve dzinogona kuterera zvinotaura Mweya kunguva imwe neimwe.
MATEO 13:9 Une nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
Kereke imwe neimwe inopera nemazwi okuti:
ZVAKAZARURWA 3:13 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke
Nguva nomwe dzemakereke ndidzo zvakavanzika zvakadzama. Mweya waMwari chete ndiwo unogona kuzvizivisa mundangariro dzenyu.
MATEO 13:10 Zvino vadzidzi vakavuya, vakati kwaari, munotaurireiko kwavari nemifananidzo?
Mifananidzo minomwe kuna Mateo Chitsauko 13 yakavanzika uye haigoni kunzwisiswa nendangariro dzenyama. Mwari akazviita nenzira iyoyo nekuti anoda Mwenga wake chete, anoda kufunga kweMagwaro, kuti agone kuzvinzwisisa.
MATEO 13:11 Akapindura akati kwavari, nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvovushe hwokudenga asi ava havana kupiwa
Mwari achazivisa zvakavanzika zvakadzama izvi kuvashoma vakasarudzwa.
Makereke ese emharidzo vachanzwa zvakabatwa paitaura vanhu, asi vamwe vanhu vachawana zaruriro yekuti tinofanira kutevera Magwaro zvakazara. Kuti Magwaro anofanira kutsigirwa neBhaibheri.
MATEO 13:12 Nokuti aninani unazvo uchapiwa ave nezvakawanda. Asi aninani usina uchatorerwa nezvaanazvo
Kana mukatanga kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri momira makatarira zano guru raMwari, Mwari anozivisa zvakavanzika zvake nemaZano ake kwamuri.
Zaruriro zvinoreva kuti kupima Magwaro neMagwaro. Pamunovaka zaruriro dzenyu nemavhesi eBhaibheri mazhinji, munowana kunzwisisa mavhesi eBhaibheri akawandawo. Nekunzwisisa mavhesi eBhaibheri akawanda, munowana zaruriro dzakadzama.
Zvinhu zviviri “zvemavhesi eBhaibheri” “nezaruriro” zvinoyanana nekubatirana kuti zvivepo.
Kuwanda kwemavhesi eBhaibheri amunonzwisisa, ndiko kukurawo nekudzama kunoita zaruriro dzenyu.
Asi kana mukakakavara kuti Vhezheni yeBhaibheri regore 1769 reKing James ndiro Chokwadi chikuru, munotanga kushanduka, kana kufuratira, kana kupokana, nemamwe Magwaro. Munoona kunge zvakataurwa nevanhu ndizvo zvakakosha kudarika Magwaro akanyorwa. Ipapo munomira kutsigira zvamunotenda neMagwaro. Ruzivo rwenyu rweMagwaro runoshaiwa chiremera nekuti munenge musisatori Bhaibheri seChokwadi Chikuru.
Kushomeka kwemavhesi eBhaibheri amunonzwisisa, ndikowo kuneta kana kushaiwa chiremera kunoita zaruriro kwamuri.
MATEO 13:13 Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo nokuti vanovona asi havavoni. Vanonzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
Jesu anoshandisa mifananidzo isingakwanisi kunzwisiswa zvakakwana nemaKristu akarasika vanofara pakutenda kune zvinhu zvisina kunyorwa muMagwaro. Vanotenda kuTiriniti, Kisimusi, Hama Branham ndivo Izwi raMwari, uye kuti Gore rakaonekwa muna 1963 raive Kuburuka kweMutumwa Mukuru wekunaZvakazarurwa Chitsauko 10. Vanotaurawo kuti vanoziva Zvakavanzika zvisina kunyorwa. Vanofunga kuti vanoziva kuti Kutinhira chii, kuti Zita idzva raShe nderekutii, uye kuti vanoziva zvese pamusoro pekunyarara kweChisimbiso chechinomwe.
Saka “vakaona” kana kufunga zvimwe zvitendero zvakasiyana siyana nekubatanidza zvakataurwa zvavakasarudza asi vasina zivo kuti votsigira sei “zvavanoona” nekubatanidza mavhesi eBhaibheri.
Kana tikasaramba tichitevera Magwaro zvakazara, tinoteerera makaseti asi tinotadza kuzarura chakavanzika cheBhaibheri.
Tinofanira kushandisa zvakabatwa paitaurwa kutsanangura Bhaibheri, asi hatifaniri kunyengerwa kusvika pakutsiva Bhaibheri nezvakataurwa nevanhu.
MATEO 13:14 Kuprofita kwaIsaya kwakaitika kwavari kunoti, Nokunzwa muchanzwa musingatongonzwisisi. Nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
Hatinzwisisi zvatinotaura nezvazvo kusvikira takukwanisa kutsanangura dzidziso nekuturikira Magwaro tichishandisa Magwaro.
MATEO 13:15 Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu. Nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuvona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomoyo. Vakadzoka ndivaporese.
Vanhu vakatendera vafundisi kana mapasita avo, vanotaura kuti vadzidzisi veBhaibheri vachinyepa, kuvabvisa muMagwaro akanyorwa.
Vanovaka dzidziso dzavo pazvakataurwa nevanhu nemazano evanhu. Haisi nzira yekuwana muono wakadzama weBhaibheri.
Mwari haadi hunhu hwakadaro kana akatarisa chinangwa chake chikuru kunguva yedu, chinova kuzarurwa kana kunzwisisa Bhaibheri.
MATEO 13:16 Asi meso enyu akaropafadzwa nokuti anovona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
Tinofanira kukudza Bhaibheri zvakare.
Vaya vanokwanisa kutsigira zvavanotenda nekutsanangura Magwaro muzvikamu zvemamwe Magwaro vakaropafadzwa. Vanofanira kufara kwazvo kuti Mwari akazarura meso avo kuChokwadi chake.
Ndicho chido chaMwari chikuru kunguva yekupedzisira.
Mwari anoda kuita vanhu vaanotsanangurira chokwadi chake chakadzama. Mwari anoda kuti isu tiyemure nzira yake yekufunga nayo. Anoda kuti tiyemure Muono wake Mukuru waAri kuuzadzisa.
MATEO 13:17 Nokuti zvirokwazvo ndinoti, kwamuri kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuvona zvinhu zvamunovona asi havana kuzvivona nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.
Zvakazarurwa zvinobudirira nekukurawo kunoita kunzwisisa kwedu
Patinonzwisisa Magwaro akati wandei, zaruriro dzinodzamiswa uye dzinojekeswa. Tinogona kuona ipapo kujekeswa kwezvakaprofitwa zvakaitwa kare kare. Maprofita makuru nevanhu vanonamata vaida kuzwisisa zvaive zvakanyorwa asi vaisatenderwa kuona mhinduro dzacho mumazuva avo.
Zvino tinogona kuona Shoko rakaziviswa. Saka, makomborero makuru kwatiri. Kana tikafuratira Magwaro akaziviswa, tinenge tisina zvikonzero zvekuchema nazvo. Tinoramba zviri nyore kunzwisisa zvaida kunzwisiswa nevanhu vakuru venguva dzakadarika. Kushaiwa shungu pakuedza kunzwisisa Magwaro ndiko kuwira kwatinoita pasi. Hunhu ihwohwo hunotisairira mumakore matatu nehafu enguva yekutambudzika kukuru nekuipa kwayo kwese.
MATEO 13:23 Wakakushwa muvhu rakanaka ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa. Ndiye unobereka zvibereko mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu.
Mufananidzo wekutanga kuna Mateo Chitsauko 13 wemukushi. Ivhu rakanaka ndiro rinokura zvibereko (ndangariro) rinogamuchira Shoko reMbeu rakakushwa nevapostora munguva yekereke yekutanga. Vakagona kunzwisisa Magwaro.
Zvitendero zvembeu izvi zvakafa zvikavigwa mutsvina yeNguva dzeRima. Dzakatanga kumera munguva dzerumutsiridzo dzaMartin Luther muGermeny.
Martin Luther akadzorera kururamisirwa nekutenda munaKristu chete. Nguva yekereke yechishanu Sardis (“vakapunyuka” kubva mukereke eCatholic) vane zvikamu zvinoda kuita makumi matatu kubva muzana zvechokwadi.
John Wesley munguva yekereke yechitanhatu yefiradhefia (rudo pakati pehama munaShe) akadzorera hutsvene nekuparidzira. Izvi zvakatungidza nguva yeNdarama yemamishinari. Vaive nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvechokwadi cheBhaibheri. Vaive ndivo vaipeperetswa nemunda wese kuti ubereke zvibereko (nyika).
VePentekositi vakadzorera rubapatidzo rweMweya Mutsvene, William Branham akadzorera zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri zvakadzama. Kereke yenguva yekupedzisira inofanira kugona kunzwisisa zvakavanzika zvese zveBhaibheri , 100%, zvese zvinodiwa kuti tigadzirire Kuuya kwaShe. Mbeu yekupedzisira inokohwewa inofanira kufanana neMbeu yekutanga yakadyarwa munguva yekereke yekutanga.
Zaruriro yechokwadi yaive ichibudirira. Zaruriro dzakaramba dzichiwedzera pakufamba kwenguva nhatu dzekereke.
Chokwadi chenguva yekereke yekutanga (makadyarwa Mbeu) chaizodzorerwa mukati menguva nhatu dzemakereke mumashure mekunge chakafa chakavanzwa muRima renguva yeTiyatira, mukadzi anotonga. Iyi ikereke yeRoman Catholic yaitonga Europe.
MATEO 13:47 Vushe bwokudenga hwakafanana norutava runokandirwa mugungwa. Runovunganidza marudzi ose ehove.
Nguva yekereke yekupedzisira inguva ye intaNETI, apo chokwadi chinotsvaira mudandemutande reintaneti ichitakura nhau pakati pegungwa revanhu vemarudzi asina kugadzikika.
MATEO 13:48 Kana rwazara varunokwevera pamhenderekedzo. Vakagara pasi vakavunganidzira dzakanaka mumidziyo asi dzakaipa vanodzirasha.
Mukuzara kwenguva, vanhu vanoiswa mumapoka maviri. Vashoma vaya vakashandisa intaneti kutauririrana nhau dzinobatsira kuwana chokwadi chakaziviswa. Vamwe vairamba kushandisa mukana uyu kutsvaga chokwadi cheBhaibheri chakaziviswa. Vakaramba vakabatirira pazvitendero zvavo. Iyi ndiyo imwe sarudzo iri nyore nekuti haidi kufunga kwakawanda.
MATEO 13:49 Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakaraurama.
Vatumwa ndivo vanosarudza. Kuti zaruriro yezvakavanzika zvekupedzisira ive chiitiko chemweya chepamusoro-soro. Tinoda rubatsiro rwemweya rwevatumwa kuti rutibatsire kunzwisisa dzidziso dzeMweya Mutsvene. Kwatiri chokwadi chakaoma, tinoda rubatsiro rwese rweMweya unoshamisa rwatingwane.
Asi vaya vasina basa nechokwadi cheBhaibheri vachakandirwa munguva yeKutambudzika kukuru kwemakore matatu nehafu. Kutadza kwavo nekuipa kwavo vakatarisana nechokwadi zvichapiswa mumoto unotyisa .
MATEO 13:50 Vachavakandira muvira romoto. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Magumo anorwadzwa evaya haagamuchiri simba rechokwadi cheMagwaro chakaziviswa.
MATEO 13:51 [Jesu akati kwavari:] manzwisisa izvozvo zvose here? Vakati kwaari, hongu [Ishe]
Munguva yechinomwe Jesu akabvunza kuti vakanzwisisa here.
Kunzwisisa chokwadi ndidzo dzaive nheyo dzakanaka dzemufananidzo wenguva yekutanga.
Kana chokwadi chikaziviswa munguva yechinomwe, Jesu anotarisira kuti tinzwisise zvese zviri muShoko.
Kudzorera nguva yekereke yechinomwe kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga zvakakosha kwazvo kana takatarisa zvinodiwa naMwari.
Zaruriro dzinozivisa nzira dzebhaibheri
MATEO 13:52 Akati kwavari, naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvovushe bwokudenga wakafana nomunhu, mwene weimba unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake.
“Zvitsva nezvekare” zvinhu zvitsva zvinoenderana nenzira dzakare dzakavambwa muBhaibheri.
Moyo yevanhu ndizvo zvigaro zvinoda Jesu kuti atonge hupenyu hwevanhu ari.
Kune zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro cheHushe Kudenga.
ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chaive chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chaive chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka.
Nzira iyi inofambirana nezivo dzedu dzanhasi dzinoratidza kuti moyo une makamuri mana.
Saka Bhuku raMabasa rinotsanangura kuti Jesu akatonga sei kereke yekutanga mumashure mekunge Mweya Mutsvene wapinda muvatendi musi wePentekositi.
Bhuku raMabasa rakachengetedzwa nemaBhuku mana eEvangeri zvinotsanangura Zano raMwari reruponeso.
Mateo Shumba, rinotsanangura Jesu ari Mambo, Shumba yerudzi rwaJuda, yakabva kuna mambo Davidi.
Marko anotsanangura Jesu ari mhuru inozokura kuita nzombe yoshanda semuranda yozouraiwa kuti idyiwe nyama yayo inokosha. Basa guru raKristu raive rekufira zvivi zvedu.
Ruka anotsanangura Jesu semunhu akarurama. Kuna Ruka chete ndiko Jesu akapa ruponeso kumbavha yaive yoda kufa pamuchinjiko. Kuna Ruka chete ndiko kwatinodzidza kuregerwa kwezvivi kwakaitwa mwana muparadzi. Sehama mudzikinuri, Jesu anonzwisisa kuti isu vanhu vakaneta tinoda nyasha kana tichida kutendeuka. Ruka ndiro rega Evangeri risingatauri kuti Jesu akafamba pamusoro pemvura. Munhu haafambi pamusoro pemvura! Saka Ruka anofuratira chiitiko ichi.
Johane anoona Jesu ari Mwari pachake, Gondo rinobhururuka nemaonero aro anodakadza kana muono wakapinza muzaruriro dzeBhaibheri.
Ipapo takarudunura nzira iyi patinoona Jesu achirarama mumoyo yemaKristu akazvarwa patsva munguva dzemakereke.
Zaruriro dziri kukura, dziri kuramba dzichiziviswa.
Zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza Chigaro chaMwari chevushe zvinotsanangura nguva nomwe dzemakereke dzinoziviswa muzvisimbiso zvina zvokutanga.
Chisikwa shumba chinomiririra chokwadi chemapostora aMambo Jesu. Shumba inodaidzwa kuti mambo wezvisikwa zvesango.
Kuchibva kwauya makore 1200 eNguva dzeRima dzakapa mhuru nguva yekukura kuita nzombe yakamiririra kuurawa kwemaKristu makumi emamiriyoni vachivurawa nekereke yeRoman Catholic.
Huchenjeri hwevanhu hwakabva hwagonesa vanhu vakaita saLuther kudzorera ruponeso kupfurikidza kutenda. Munguva iyi apo Mwari aikurudzira vanhu kufunga, vadzidzi vakaturikira Bhaibheri reKing James Vhezheni.
Panguva yechisikwa munhu, John Wesley akadzorera hutsvene mamishinari akaita zvinhu zvikuru pasi rese vachitevera vakarasika.
Kufunga kwaikurudzirwa neKing James vhezheni reBhaibheri kwaive kusisaitwi munguva dzedu nekuti Mwari vaive vatodarika kunokurudzira gondo rinobhururuka muchadenga. Maonero akadzama egondo muzvakavanzika zvaMwari, wakadzidzisa William Branham. Zvakavanzika zvakaziviswa izvi zvava mumhepo, semakondo anobhururuka, apo mawebhisaiti eintaneti anofambisa nhau dzakakosha kudai.
Kana kereke iine nguva nomwe, zvinorevawo kuti maJuda aivewo nenguva nomwe
VAKOROSE 1:26 ndicho chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake;
MaJuda akapindawo munguva nomwe “dzekereke” munguva dzakadarika.
VAEFESO 3:5 Zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vapostora vatsvene, navaprofita zvino muMweya.
Kwaive nevatumwa vanomwe vechiJuda vakatanga nzira yaizodzokororwa munguva nomwe dzemakereke.
Nguva yekereke yekutanga Efeso.
ZVAKAZARURWA 2:4 Asi handifari nechinhu icho kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.
Abrahama, mutumwa wekutanga kumaJuda, akasiya mukadzi wake Sara achienda kunoroora mukadzi wekuEgipita Hagai.
Nguva yekereke yechipiri yeSmirna.
ZVAKAZARURWA 2:10 Usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira Diaborosi odo-kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muidzwe
Josefa, ndiye mutumwa wepiri kuvaJuda, akakandwa mutorongo kuti aedzwe.
MAPISAREMA 105:17 Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda;
18 Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare;
Masimbi edare anoita kuti vasungwa vagare mutorongo.
19 Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJEHOVA rakamuidza.
Nguva yekereke yechitatu Pergamosi.
ZVAKAZARURWA 2:14 Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBarami,
Baramu aive muvengi waMosesi, mutumwa wechitatu kuvaJuda.
Nguva yekereke yechina yeTyatira muNguva dzeRima.
ZVAKAZARURWA 2:20 Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jezeberi,
Jezeberi aive muvengi waErija, mutumwa wechina kuvaJuda.
Jezeberi naAhabu dzaive nguva dzerima dzechipostora chechiJuda.
54-0509 KUTAPWA KWEUNITED STATES
Tarirai, apo Ahabu akaroora Jezeberi munguva dzerima guru raive pamusoro paIsraeri, akaunza kunamata zvifananidzo muIsraeri, rudzi rwezvinoitika nhasi uno.
Nguva yekereke yechishanu yeSardisi.
Ezra akatora chakavanzika akanochidzorera muTembere.
Martin Luther akadzorera zvakavanzika “zveruponeso kupfurikidza kutenda” mukereke.
Vadzidzi vakaturikira chiHeberu nechiGiriki vakazviisa muBhaibheri reKing James vhezheni, rinova chikoshwa chikuru muchitauro cheChirungu chaizopararira nepasi rese.
Nguva yekereke yechitanhatu yeFiradhefia, rudo pakati pehama munaShe.
John Wesley muEgirendi akadzorera hutsvene nekuparidzira zvakazounza nguva huru yemamishinari.
Nehemia akavakazve masvingo eguta reJerusarema kuti achengetedze guta.
Rudo kuhama munaShe, kuvhangera kuti vahedeni vaponeswe ndiro simba neruchengetedzo zvinobva mukuita kwechiKristu.
Nguva yekereke yechinomwe.
Johane Mubapatidzi, semutumwa wechinomwe kumaJuda, akazivisa Jesu seMunhu aifamba pakati pevanhu.
William Branham akazivisa Jesu seShoko raMwari. Paanofamba nemapeji eBhaibheri seShoko rakazivisa zvakavanzika zvinogona kunzwisiswa panguva dzekupedzisira.
VAEFESO2:6 Akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;
Mwari achavaka kereke yemweya mumakore 2000 anotevera.
VAEFESO 2:7 Kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;
Makore 2000 enhorondo yekereke achapatsanurwa kuita nguva dzakasiyana.
Gwara riri munhau iri pavhesi 7. Nguva nomwe dzichavapo nekufamba kwenguva.
VAEFESO 3:3 kuti zvakanga zvakavanzika zvakandiziviswa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;
4 kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;
Pauro aive nezaruriro yakadzama yenzira dzezviitiko zvenguva nomwe dzemakereke, dzese nguva kumaJuda munguva dzakare nekukereke munguva dzaizouya.
VAGARATIA 2:2 Ndakakwira nokuda kwokuratidzwa; ndikarondedzera pamberi pavo Evhangeri yandinoparidza pakati pavahedheni, asi kunavakanga vachikudzwa vari voga, kuti zvimwe ndirege kumhanyira pasina, kana kuti zvimwe ndatomhanyira pasina.
Mwari akazivisa nezaruriro kuna Pauro, zvakavanzika zvose zvaive zvadzidzwa nemamwe mapostora.
I VAKORINTE 14:6 Asi zvino, hama dzangu, kana ndichivuya kwamuri, ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai neiko, kana ndisingatauri nokuzarurirwa, kana nokuziva, kana nokuporofita, kana nokudzidzisa?
Pauro aive agamuchira zaruriro dzakadzama kubva kuna Mwari zvakamugonesa kuyananisa Testamente yekare neTestamente Itsva pamwechete. Aive mukaki wematente aigona kwazvo Mwari akazivisa kwaari kuti osonanidza sei zvinhu zviviri zvakapesana, Murairo neNyasha, pamwechete.
Zaruriro dzinoratidza kuti Nyasha ndiko kuzadziswa kweMurairo
Jesu ndiye Gwaiana redu rechibairo. Rakasarudzwa pazuva regumi rikavurawa zuva regumi nemana. Jesu akasarudzwa pajekereke musi weSvondo yeMichindwi raive zuva rechigumi. Zuva rechigumi nemana raizove China paakafa.
EKSODO 12:3 Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, `Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.
EKSODO 12:6 Zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.
Nenzira iyoyo aizoita husiku hutatu mubwiro. China manheru, Chishanu manheru, neMugovera manheru asati amuka kubva kuvakafa musi weSvondo magwanani.
MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
Zvatakatarirwa nezvatinoda zvinofanira kubatana pamwechete. Zvatakatarirwa ndiMwari anoziva zvichaitika nevachazvipira kupa kuda kwavo kwaari vogamuchira Kuda kwaMwari, kunova Shoko rake, kuti rivatungamirire. Vanhu ivavo vaizoenda kudenga.
Kunamata izaruriro huru kwazvo.
Jesu anozoita sei Munhu naMwari nguva imwechete?
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Jesu aive nehunhu hwemunhu asi aivewo nekuzara kwaMwari Maari seMweya unoshamisa.
Mune ndangariro dzamunogona kudzora nedzamusingakwanisi kudzora. Asi munoramba muri munhu mumwechete.
Zvakafanana, Jesu aive nendangariro dzaaikwanisa kudzora (semunhu) zvakarewo ndangariro (dzeMweya unoshamisa). Asi akaramba ari munhu mumwechete.
Kuti Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene vaikwanisa kuva munhu mumwechete Jesu Kristu.
Jesu aive Emanuere, Mwari anesu.
Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene ndiko kuratidzwa kutatu kwaMwari. Pamusoro pemaJuda, arinemaJuda, uye mukati mevatendi iri Kereke.
I TIMOTIO 3:16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama,
I VAKORINTE 14:26 Zvino tichatiyiko, hama dzangu? Kana muchivungana, mumwe nomumwe unepisarema, unechokudzidzisa, unechaakazarurirwa, unorumwe rurimi, unechokududzira. Ngazviitwe zvose, kuti musimbiswe
Kusangana kwemaKristu pamwechete hakusi kwekuti vatongwe nemunhu mumwechete.
Munhu wese ane zaruriro, anonzwisisa chimwe chikamu cheMagwaro.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
Hatina chikonzero chekuramba nacho kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro munguva dzekupedzisira.
Tinodzidza kunzwisisa Bhaibheri nekuterera zvakataurwa kubva “kuizwi remutumwa wechinomwe”.
Hatina kubvira tavimbiswa “Izwi raMwari”. Uku kunyengerwa kunotibvisa kuMagwaro.
II PETRO 1:20 Muchiziva pakutanga, kuti hakunovuporofita bworugwaro bwunongodudzirwa nomunhu;
Hakuna munhu kana mumwechete anogona kutaura kuti anoona zvakadzama zveMagwaro iye oga. Gwaro rimwe nerimwe rinofanira kutsanangurwa muchishandisa mamwe Magwaro.
Tinofanira kutarira zaruriro imwe neimwe.
II PETRO 3:16 Sezvaanotaura mumwadhi dzake dzose pamusoro pezvinhu izvi; madziri munezvimwe zvikukutu kunzwisiswa; zvino minamiswa, samamwe magwaro vo, navasingazivi navasinesimba, kusvikira vaparadzwa.
Mamwe Magwaro akaoma kwazvo kunzwisisa zvinozooma kuti timaburitse pachena timanzvere.
Bhaibheri harina kupfava kunzwisisa nguva dzose.
Rinoda kuzvipira kukuru. Kwete kungotarisawo zvepano neapo.
Hama Branham vaisakwanisa kuwana nguva yekunzvera zvinhu zvose. Saka vaibata zvinhu zvikuru saka isu tinofanira kunzvera zvakazara muBhaibheri kuti tizadzise mufananidzo wacho.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Zvino, chokwadi handisi kuedza kuzvuzvurudza Magwaro ese imomo, uye kune zvinhu zvandisingatokwanisi kutaura nezvazvo; zvinotora nguva yakawandisa. Asi ndinoedza kuratidza pano neMagwaro nezvimwe zvakadaro zvakakwana kupa vanhu zvinozovagonesa kuziva nekuona mufananidzo wacho chaiwo.
Asi mukagara pasi nechimwe cheZvisimbiso, nei, maihwee, munogona kutora mharidzo yemwedzi wese husiku hwega hwega paChisimbiso asi musina kana kuchibata (Mazviona?) chimwechete chazvo. Ndiko kuchava kukura kwazvo. Asi ndabata pamusoro pacho, imi munogona – munogona kuona kuti chiri pamusoro pei.
II PETRO 3:17 Naizvozvo imi vadikanwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvisati zvaitwa, chenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwavakashata, muwe pakusimba kwenyu.
Vhezheni yeBhaibheri reKing James yegore 1769 ndiyo ine chokwadi chikuru uye harina kukanganiswa zvachose.
Hatifaniri kubviswa netsananguro dzakachenjera dzinoratidza kuti hatikwanisi kuwana Bhaibheri rakarurama.
Hatifaniri kuramba kuti Jesu Kristu ndiye Mwari Wamasimbaose nekuti vamwe vanhu vose vari kutaura kuti angori chikamu cheTiriniti.
II PETRO 3:18 Asi kurai panyasha napakuziva Ishe wedu, Muponesi Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino, nokusingeperi. Ameni.
Bhaibheri rese rakagadzirwa nenzira inowedzera zivo yedu nekunzwisisa Jesu neZano rake guru reruponeso.
Tinofanira kuva nechido chekutsvaga kunzwisisa Mwari.
Jesu anofanira kuva ndiye watakatarira nguva dzose, kwete munhuwo zvake
II SAMUERI 5:12 Zvino Davidi akaziva kuti JEHOVA wakanga amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakanga akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
Davidi aifanira kunzvera kwenguva refu asati aziva kuti Mwari aive amuita mambo kuti vana vaIsraeri vakunde. Kwete kuti akudzwe iye.
Chinangwa chaMwari hachina kupfava kunzwisisa nguva dzese.
Kusimudzira munhu kwakashata dzimwe nguva. Madzimambo mashoma kwazvo kuvaIsraeri vakabatira Mwari kwehupenyu hwavo hwese.
Davidi ndiye akaita mambo wekutanga akanaka asi ndiye zvakare akaita mambo umwechete akazvidzwa.
Zano raMwari musanganiswa wekusimudza nekudhonzera pasi.
Tinofanira kungwarira kuti tisazvisimudzire.
Kufamba kwedu naMwari hukama hunofanira kukura nguva dzese.
Tinofanira kuramba tichitsvaga, kuramba tichidzidza.
Davidi paakagara pasi, akapinda mudambudziko naBetisheba.
Kana gondo rikamira kubhururuka, rinodonha.
Kana masvika, muri kumapeto kwenzira kusina kwaichaenda.
Kana mukatevera danga remombe, munodya guruva. Sezvinoita mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka.