Zvinoreva Rubapatidzo rwemvura Chikamu 2



Hakuna nzira yerubapatidzo. Zvinzvimbo Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene hazvisi zita. Zita raMwri ndiJesu.

First published on the 1st of November 2025 — Last updated on the 1st of November 2025

VAKOROSE 3:17 uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.

“Mwari naBaba”. Musiyano uri pakati paMwari naBaba ndewei?

Rubapatidzo runomiririra kufa kuvigwa nekumuka kwemunhu Jesu.

Mwari Baba Mweya. Havagoni kuurayiwa kana kuvigwa.

Rubapatidzo rwemvura runopa mwenga zita reChikomba Jesu.

VaIsraeri vakabuda vari vapenyu muGungwa Dzvuku nekuti vaitevera munhu Mosesi.

VaEgipita vakafa muGungwa Dzvuku nekuti vaitevera zita Farao, rinova chinzvimbo kwete zita remunhu.

Vasikana mapenzi vakaponeswa vanofa munguva yeKutambudzika kukuru sezvo rubapatidzo rwavo vakaruita muzvinzvimbo zvitatu zvinoshandiswa sezita.

Kuzviratidza kutatu kwaMwari kunoti:

Baba vari PAMUSORO pedu, Mwanakomana ari PAKATI pedu, naMweya Mutsvene ari MUKATI medu.

Kiyi yaPetro yekutanga yakasunga kana kumisa rubapatidzo rwaJohane rwaive rwusina zita. Kiyi yake yechipiri yakasunungura rubapatidzo muzita raJesu Kristu.

Vatendi vekutanga vaingodaidzwa maKristu. Vaive vaKristu, kwete vekereke.

Vainamata mudzimba mumapoka maduku. Pasita aive asiri musoro wekereke muTestamente Itsva.

Vaingofarira kusimudzira zita rimwechete chete, Jesu.

JOHANE 12:32 Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vese kwandiri.

 

 

Kuzara kwehuMwari kwakaunza matambudziko makuru maviri


 

Dambudziko rekutanga.

Kana Mwari ari Vanhu vatatu vakasiyana, zvinoreva kuti Mwari anorasikirwa nezita rake nekuti hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu.

Dambudziko iri harigoni kugadziriswa. Vanotenda kuTiriniti vanofuratira nhau iyi uye havana basa nenhau yekuti Mwari wavo haana zita.

Asi, Murayiro wechitatu unotiudza kuti Mwari ane zita uye hatifaniri kudana zita raMwari pasina.

EKSODO 20:7 Usareva zita raJEHOVA Mwari wako pasina, Nokuti JEHOVA haangaregi kupa mhosva anoreva zita rake pasina.

Chinhu chimwechete chinorehwa neizvi ndechekuti hatifaniri kushandisa zita raMwari kupika nekutuka.

Vatadzi, kana varwadziswa kana kutsamwiswa, vanopika vachiti, “Jesu Kristu” sekuti vanoziva kuti izita raMwari.

Hakuna mutadzi anopika “Muzita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene”. Vatadzi vanoziva kuti harisi zita.

Chinhu chinorwadza. Vatadzi vanoziva zita raMwari, asi vanoenda kumakereke havazivi.

Dambudziko rechipiri.

Dambudziko guru nderekutsanangura kuti sei “Jesu” riri ndiro zita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene.

Chinhu chakakanganiswa chikuru chaive chekutsanangura Mwari muzvikamu zveVanhu.

Bhaibheri harina kubvira rashandisa izwi rekuti “Vanhu” paraitaura nezvaMwari.

Bhaibheri harina kubvira raratidza mufananidzo weVanhu vatatu pachigaro cheHushe Kudenga.

Asi Bhaibheri rinotaura kuti Mwari aive “aratidzwa” panyama.

I TIMOTIO 3:16 Zvinotendekawo kuti chakavanzika chekunamata Mwari chikuru; Mwari wakaratidzwa panyama, wakanzi wakarurama paMweya, wakaonekwa nevatumwa, akaparidzwa kuvahedheni, akatendwa panyika, akakwidzwa mukubwinya.

Kuzviratidza zvinoreva Mwari asingaonekwe aizviratidza mumuviri waionekwa.

Mwari haagoni kuonekwa nekuti Mwari ndiMweya.

JOHANE 4:24 “Mwari ndiMweya.”

JOHANE 1:18 Hakuna wakatongoona Mwari;

Mwari haasi munhu.

NUMERI 23:19 “Mwari haazi munhu”

Iri ndiro dambudziko. Jesu ndiMwari, asi munhu Jesu haasi Mwari.

Tinoyananisa sei zvinhu zviviri izvi?

MuTestamente Yekare Mwari anoshamisa akazvidaidza kuti Baba (kwete “Mwari Baba”) akazviratidza PAMUSORO pevaIsraeri. Akaonekwa seShongwe yeMoto inoshamisa kana Gore kana Mutumwa waShe.

VaIsraeri vakamudaidza ISHE. Mwari akaonekwa mumuviri unoshamisa wemweya. Munogona kuzvidaidza kuti muviri wemweya kana kuti thiofeni.

 

 

Baba zvaive zvagara zvichireva Mwari vanoshamisa.

Ari Baba, Mwari vanoshamisa vane mazita akawanda. Jehova. Erohimu. Adonai. El. Elah. NDINI IYE. Anegodo.

EKSODO 34:14 Nokuti usafugamira vamwe vaMwari nokuti JEHOVA ane zita rinonzi anegodo, ndiMwari anegodo.

Mazita mazhinji aya aive asiri mazita chaiwo, nekuti Mwati anofanira kuita zita rimwechete.

“Anegodo” hunhu hwaMwari.

Anoda kukudzwa. Haadi kukwikwidzwa.

Pachokwadi, mazita eTestamente Yekare aya anotsanagura hunhu hwaMwari, hunova huzhinji.

“NDINI IYE” harizi zita. Kutaura kusina ruregerero makuri kwehuvepo hwake husina anopikisa.

Saka, vaIsraeri veTestamente Yekare vaisarudza kusashandisa zita kudaidza Mwari.

Vaizivikanwa serudzi runonamata Mwari asina zita.

Vabereki vaSamusoni vakabvunza zita remutumwa waShe. Vaiziva kuti Mutumwa uyu aive Mwari. Asi zita raMwari raive chakavanzika muTestamente Yekare.

VATONGI 13:18 Mutumwa waJEHOVA akati kwaari: unondibvunzireiko zita rangu zvarinoshamisa?

VATONGI 13:22 Zvino Manoa akati kumukadzi wake: Tichafa zvirokwazvo nokuti taona Mwari.”

Jakobo akasangana naMwari akamubvunza akashaya mhinduro kuti zita rake raimbove ani.

GENESISI 32:24 Asi Jakobo wakasara ari oga mumwe murume akaita musimba naye kusvikira vutonga vuchitsvuka.

Jakobo akarwa naMwari ari munhu. Mwari vakazvitorera ivhu vakazviitira muviri. Vapedza naJakobo, Mwari vakasiya muviri uchidzokera kuva ivhu Mweya waMwari uchidzokera Kudenga.

GENESISI 32:29 Jakobo akamubvunza akati; ndivudzeiwo zita renyu. Iye akati unondibvunzireiko zita rangu? Akamuropafadza ipapo.

Jakobo akabvunza Mwari zita rake. Ichi chaive chakavanzika chikuru muTestamente Yekare.

Mwari haana kupindura. “Uri kubvunzireiko?”

Zviri pachena, zita raMwari raive chakavanzika chikuru zvekuti Mwari vaive vasingazoritaure.

GENESISI 32:30 Zvino Jakobo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Penieri: nokuti wakati: Ndakaona Mwari hupenyu hwangu hukashanduka.

Zita raMwari, paaizviratidza ari Baba pamusoro pevaIsraeri, aive chakavanzika chikuru chisina aiziva nezvacho.

Asi Mwari havana kubvira vadaidzwa kuti “Mwari Baba” muTestamente Yekare.

Vanotenda kuTiriniti havana kugona kuzvitsanangura kuti nei.

Chokwadi ndechekuti Jesu ndiye Mwari anoshamisa, anova Baba vakava nyama.

Jesu haana kubvira azivisa zita rake muTestamente Yekare paaizviratidza ari Mweya unoshamisa wairarama uri mumuviri wemweya kana kuti thiyofeni waive Shongwe yeGore kana Shongwe yeMoto kana muviri wemweya weMutumwa waMwari.

JOHANE 1:14 Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi

Kwakabva kwauya shanduko huru.

Baba vanoshamisa (Mwari weTestamente Yekare) vakasarudza kurarama zvakazara mumuviri wemunhu, muviri waJesu

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

JOHANE 14:10 Hautendi here kuti ini ndiri muna Baba,

[Jesu aive mukuda kwaBaba vaisaonekwa ivo Mwari],

naBaba vari mandiri?

[Baba vanoshamisa, vanova mweya, vaigara zvakazara mumuviri wemunhu Jesu]

Mashoko andinotaura kwamuri ini, handiatauri pachangu;asi Baba, vanogara mandiri,ndivo vanoita mabasa.

Kekutanga, Baba vanoshamisa vaigara mumunhu Jesu Kristu, vanonzi Mwari Baba”.

Mwari havana kubvira vadaidzwa kuti “Mwari Baba” muTestamente Yekare.

Jesu ari munhu, haasi Mwari. Asi nekuda kwekuti kuzara kwehuMwari kwakagara muna Jesu, ndizvo zvakamuita Mwari.

NUMERI 23:19 “Mwari haazi munhu”.

Mwari haana nyama nemapfupa semunhu.

Saka, hamungati “Mwari Mwanakomana”. Izvi zvinozoreva kuti Mwari ane nyama nemapfupa.

Muviri wenyama nemapfupa wakagara Mwari unonzi “Mwanakomana waMwari.

Asi pane chinhu chakakosha chinoita kuti zvibvume kufambirana.

Munhu, Mwanakomana waMwari, anofanira kuteerera zvakazara baba vanoshamisa vanorarama maari.

Jesu ndiye munhu watinofanira kuteedzera.

Hatigoni kuva vanakomana nevanasikana vaMwari kunze kwekunge chikamu chaMwari chagara matiri tichiteerera zvakazara Kuda kwake nehutungamiri hwake.

Asi, Jesu paairarama panyika, kuzviratidza kwaMwari kwakashanduka.

Hunhu hwaMwari hwakakura kubva ari mwana mudiki kuita munhu mukuru. Mwari akakudza hunhu hwake.

Muri zvese zviri mamuri.

Jesu ndiMwari nekuti kuzara kwaMwari kwakagara mukati make.

Kuzara kwaMwari kwakagara muMunhu mumwechete.

Uku kwaive kuratidzwa kwaMwari kwechipiri, Mwari akazvizivisa mumunhu Jesu.

 

 

Mweya waMwari usingaonekwe uchizviratidza nekutaura nehunhu hweMunhu uyo Mwari akasarudza kugara mukati make.

Emanuere, Mwari anesu.

Asi Baba vanoshamisa vanoda kururama vaive vabatana neMunhu Mwanakomana anotinzwisisa, nekuti Mwanakomana munhu sesu anotinzwisisa sevanhu vamwe vake.

VAKOROSE 3:7 uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye.

“Mwari naBaba”.

Musiyano uri pakati paMwari naBaba ndewei?

Baba ndivo Mweya unoshamisa.

Asi kuzara kwehuMwari kwakagara munaKristu. Saka, Mwari akava mubatanidzwa wemweya unoshamisa nemunhu. Muna Kristu, Mwari akazviratidza ari munhu akabatana nemweya unoshamisa weMweya Mutsvene.

Nerumwe rutivi, Baba vakaramba vari Mweya unoshamisa wakarurama.

Semuenzaniso, mune ndangariro dzamusingaoni kana mweya unoita kuti murambe muchifema makarara. Todaidza mweya watisingaoni kuti “baba”. Mune ndangariro dzamunoziva kuti dzitoripo todzidaidza kuti “mwanakomana.”

Hamuna ndangariro mbiri. Asi ndangariro dzenyu dzine nzira mbiri dzekuzviratidza.

Munotonga ndangariro dzenyu dzamunonzwa nekuziva asi ndangariro dzamusinganzwi, nenguva yadzo, dzinorangarira zvinhu zvamakakanganwa. Ndangariro dzenyu dzinorwisana pachadzo kana matanga kurasika muchibva mugwara muchitetereka.

SeMwanakomana, Jesu akaratidzwa semunhu waMwari.

Zvese munhu nemweya unoshamisa zvinoratidzirwa mumuviri weMunhu mumwechete. Mwanakomana waMwari.

Haana kubvira adaidzwa “Mwari Mwanakomana” nekuti Mwari, anova Mweya haasi nyama.

Muna Kristu, tine kubatana kweMweya unoshamisa nemweya wemunhu kana nehunhu hwemunhu.

“Mwanakomana” anomiririra Mwari “achiburuka” kuuya padanho redu.

Ndicho chikonzero cherubapatidzo Rwake muRwizi Jorodani.

(Jorodani zvinoreva “kuuya panyika” kana kuburuka.

JOHANE 3:34 Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero.

Kuratidzirwa kwechipiri kwaMwari kwaive kutendera kuzara kwezvose hunhu hwaMwari, nesimba rinoshamisa nehuchenjeri kuti zvibatanidzwe muMunhu mumwe, Jesu.

Ari Mwanakomana, iyi ndiyo yega nguva Mwari akatora zita risina kupokana riri pachena.

Mazita mazhinji aMwari muTestamente Yekare akabva abva akasazotaurwa muTestamente Itsva.

Mwari vanoshamisa vaidzaidzwa (NDINI IYE) NDICHAVA IYE WANDICHAVA mumazuva aMosesi.

EKSODO 3:14 Mwari akati kuna Mosesi: NDICHAVA IYE WANDICHAVA: Akati unditi kuvana vaIsraeri; NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.

Jesu akati, Abrahama asati avapo, NDICHAVA AIVEPO.

Haana kutaura pamusoro paMwari achiti Baba, akataura pamusoro pake iye.

JOHANE 8:58 Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahama asati avapo, ini ndiripo.

Izvi zvinongoreva kuti Jesu ndiye Mwari anoshamisa akazviratidza kuna Mosesi nekuti Mwari anoshamisa uyu, Baba vaigara maari.

 

Kuzviratidza kwaMwari kwechitatu kwaive kusina kutarisirwa


 

Mweya wakabatanidzwa wemunhu neMweya waMwari waizoratidzirwa muvanhu panyika, apo Mwari vachigara Kudenga.

Mwari aizotumira chidimbu cheMweya wake Mutsvene kuuya panyika (Jorodani) kuti upinde muhana dzevatendi. Bhuku raMabasa rakaona Mwari vachipatsanura Mweya wavakatumira panyika kuuita ndimi dzinosvika 120 dzemoto pajekerere achiratidza kuti kereke yeTestamente Itsva yaive yatangwa naMwari.

MABASA 1:15 Zvino mumazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pevadzidzi akati (kwaiva nechaunga nevanhu pamwe vanenge zana nemakumi maviri):

MABASA 2:3 Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo.

VAKOROSE 1:27 Kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya;

JOHANE 15:5 Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Anogara mandiri, neni maari, ndiye anobereka chibereko chakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

Chakavanzika chebudiriro pamuKristu ndechekuva neMweya Mutsvene waKristu uchitonga hupenyu hwake kubva mukati make.

VAFIRIPI 4:13 Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa.

 

 

Mweya waKristu unogara mukati unotigonesa kuita zvinofanira kuitwa kuzadzisa Kuda kwaMwari.

VAFIRIPI 2:13 nokuti ndiMwari anoshanda mamuri, zvese kuda nekuita nekuda kwechido chake chakanaka.

Simba redu rakavanzika rinobva pakuti chikamu cheMweya waMwari chiri matiri chinotipa kuda nerudo rwekuita zvinodiwa kuti zviitwe naMwari.

Mweya waMwari unoda kutitonga zvakazara.

Ari Mweya Mutsvene, Mwari anoratidzwa Mumoyo yevanorarama mukereke make. Vanhu ndivo kereke.

(Venhorondo havana kuwana chivakwa chakashandiswa pakunamata chakavakwa gore AD 220 risati rakwana. Tembere yemaJuda yakaparadzwa muna AD 70).

Mwari munesu ane basa guru kwatiri.

Chidimbu cheMweya Mutsvene chinopinda mumoyo mako chinouya nechidimbu cheMweya unoshamisa (Mwari Baba) uyezve chidimbu chemweya wemunhu akarurama (Mwanakomana waMwari) anodiwa kuti mufanane naye naMwari.

 

 

Ipapo, chidimbu chaMwari chinogona kuratidzirwa mukutaura nehunhu hwemuviri wako wenyama.

Kuti muzvipire zvakazara kuKuda kwaMwari, zvinenge zvakakosha kuti mufe kuzvivi zvenyu.

I VAKORINTE 15:31 ndinopika nokuzvikudza pamusoro penyu kwandinako muna Kristu Jesu Ishe wedu. Ndinofa zuva nezuva

Nzira dzaMwari hadzisi nzira dzedu.

Kufunga kwedu zvisinei nekuti kwakachenjera sei, hakugoni kuzivisa Kuda kwaMwari muhupenyu hwedu.

ISAYA 55:9 Nokuti Denga sezvarakakwirira kudarika nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kudarika nzira dzenyu nendangariro dzangu kudarika ndangariro dzenyu.

Tinofanira kufa kumazano edu nezvido zvedu kana tichida kusangana neKuda kwaMwari muhupenyu hwedu.

Kuzviratidza kutatu kwaMwari kunoti:

Baba vari PAMUSORO pedu, Mwanakomana ari PAKATI pedu, uye Mweya Mutsvene ari MUKATI medu.

Mweya Mutsvene hauna zita muBhaibheri.

Ishe harisi zita.

 

Rubapatidzo runomiririra kufa, kuvigwa nekumuka


 

VAROMA 6:3 Kana hamuzivi here kuti isu tese takabapatidzwa muna Kristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake?

Chitunha chinoradzikwa nemusana chofukidzwa nevhu muguva.

Izvi zvinoitwa nekunyika munhu mumvura nemusana kusvikira afukidzwa nemvura.

VAROMA 6:4 Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu.

Munhu anoita izvi kuita kunge afa, nekuti meso ake anenge akavharwa asingafemi, anosimudzwa kubva mumvura. Izvi zvinomiririra kumuka kubva kuvakafa.

VAROMA 6:5 Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake;

Munhu anovigwa kamwechete, kwete katatu. Vamwe vanotenda kuTiriniti vanobapatidzwa katatu kuna Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene. Izvi hazvimiririri kuvigwa chaiko.

Vanhu havavigwi nekumwaiwa ivhu pamisoro yavo.

Kumwaya mvura pamusoro wemunhu hakubapatidzi munhu.

“Kereke yaitombonyika vanhu mumvura zvakazara. Izvi zvakatika kusvika musenturi yechigumi nenhatu. Kanzuru yeRavenna, muna 1311, yakashandura izvi ikatanga kudira mvura.

(Vanhu veRoman Catholic. Kutenda Kwedu neZvakunoreva, p399).

Izwi redu reChirungu “Rubapatidzo” rakabva kuchiGiriki muizwi rekuti “baptisma” zvinoreva kunyika zvakazara, kuzvipira, nekukasika”

Thayer’s Chirungu-cheGiriki Lexicon, p.94

Ngatitarisei muenzaniso weRubapatidzo rwemvura.

MABASA 8:38 Zvino akaraira ngoro kuti imire; ndokuburukira mumvura vari vaviri, Firipi nemutenwa; ndokumubhabhatidza.

39 Zvino vakati vakwira kubva mumvura, Mweya waIshe wakabvuta Firipi; mutenwa ndokusazomuonazve; nokuti wakafamba nenzira yake achifara.

Havaizonyura vese mumvura dai Firipi aingovamwaya mvura mumisoro yavo.

Rubapatidzo rwunomiririra kufa kuvigwa nekumuka kweMunhu Jesu.

Mwari baba Mweya. Haagoni kuurayiwa nekuvigwa.

Kana Baba vari Munhu akazvimiririra, saka havana kubvira vafa nekuvigwa. Saka, havana chekuita nerubapatidzo rwemvura.

Zvimwechetezvo neMweya Mutsvene. Kana ari Munhu akasiyana, zvinoreva kuti haana kubvira afa nekuvigwa. Saka, Mweya Mutsvene haana chekuita nerubapatidzo rwemvura.

Zvakadaro. Mweya Mutsvene hauna zita rawakapiwa muBhaibheri. Nei?

Mweya Mutsvene ndiwo Baba vaJesu.

MATEO 1:20 Asi zvino wakati acharangarira zvinhu izvozvi, tarira, mutumwa waIshe wakaonekwa kwaari muchiroto achiti: Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kuzvitorera Maria mukadzi wako; nokuti icho chakaumbwa maari ndecheMweya Mutsvene.

Munhu anoisa mbeu yehupenyu mudumbu remukadzi ndiye Baba vemwana.

Saka, Mweya Mutsvene ndiwo Baba vaJesu.

Waive Mweya Mutsvene wakataura paakaburuka achizorora pana Jesu paakapedza kubapatidzwa nemvura. Achiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa.

SaJesu, agere paChigaro cheNyasha Kudenga. Anopa Mweya wake Mutsvene kuti upenyese Chiedza apo anotaura naSauro mumugwagwa wekuenda Damasiko.

Mweya Mutsvene Mweya Mutsvene wakasika mbeu yeMwana mudumbu maMaria.

Mweya Mutsvene wakagara muMbeu iyoyo Mwana akakura kuti Mwari agove Munhu.

RUKA 2:11 nokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, anova Kristu Ishe, muguta raDavidi.

Mwana Jesu akaberekwa ari Ishe. Kristu zvinoreva kuti Akazodzwa.

Jesu akazvarwa ari akazodzwa. Kuzodza kweMweya Mutsvene waigara mukati make.

Parubapatidzo rwake rwemvura, Jesu akagashira zodzo yekunze yakaonekwa nemuprofita Johane.

Izvi zvakaitika kuti zviratidze kutanga kwehushumiri hwake. Jesu, ari Mwanakomana, aive Emanuere, Mwari ari pakati pedu.

Zvakafanana, Mweya Mutsvene wakaratidzwa sezodzo rinozodza kunze kupfurikidza ndimi dzemoto Musi wePentekositi.

 

Rubapatidzo runopa mwenga zita remurume wake Jesu


 

Nguva imwechete yakatorwa zita rimwechete riri pachena ndeapo Mwari akava Munhu akazvidaidza kuti Jesu.

Munhu wekutanga akarurama aive Adamu Mwari akamuitira mwenga, akamudaidza mukadzi.

Munhu akarurama wechipiri ndiJesu asi anodaidzwa kuti Adamu wekupedzisira nekuti Ndiye munhu akarurama wekupedzisira. Hakuzovi neumwe munhu akarurama kumashure kwake.

I VAKORINTE 15:45 Zvakanyorwawo saizvozvo zvichinzi: Munhu wekutanga Adhamu wakaitwa munhu anorarama; Adhamu wekupedzisira mweya unoraramisa.

Kuva Munhu, Jesu ari kutsvagawo Mwenga.

Wanano inosanganisira mukadzi achitora zita remurume wake.

Izvi zvinotibata sei?

Kune chiitiko chimwechete apo munhu anotora zita raJesu, ndipo paanobapatidzwa nemvura.

Kana tikasatora zita rake, hatizokokwe kuChirayiro cheMuchato weGwaiana Kudenga, apo kereke yakaponeswa inopinda munguva yeKutambudzika kukuru.

Vasikana vakaponeswa vari mapenzi kuna Mateo Chitsauko 25 vakakanganisa vakatora zvinzvimbo Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene. Vakanyengerwa vakafunga kuti zvinzvimbo izvi izita sevaEgipita vakatevera Farao, vakatevera chinzvimbo vachipinda murufu rwavo.

Mosesi wedu ndiyani anosimuka kubva mumvura dzinotyisa dzerufu?

Chikomba Jesu ari kuuya kuzotora Mwenga, avo vanoona kuti Vanhu vatatu veTiriniti havagoni kuita zita rimwechete.

Asi mwenga anogona kuona kuti Jesu ndiye Mwari ari pamusoro pedu ari Baba, ndiye Mwari pakati pedu ari Mwanakomana, chakanyanya kukosha, ndiye Mwari ari matiri ari Mweya Mutsvene.

Jesu ari pamusoro pedu, anesu, uye ari matiri. Saka, anotipa ruchengetedzo rwakazara.

Ndihwo hunhu hwakarurama hweMurume wemunhu, kuchengetedza Mwenga wake anotakura zita rimwechete reMurume wake, Jesu.

Mosesi, zvinoshamisa, anofanotiratidza rubapatidzo rwemvura.

Izvi zvinoratidza musiyano wakakosha uri pakati perubapatidzo rwemvura muzita raJesu Kristu, (Zita nechinzvimbo. Kristu chinzvimbo chinotiudza kuti tiri kutaura Jesu upi.) nerubapatidzo rwunoitwa muzvinzvimbo pasina zita.

Rubapatidzo muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene kungonyepera kuti zvinzvimbo zvitatu izita.

Zvakangofanana nemunhu anoti, “Muzita raMambo”.

Munhu haana kutiudza kuti zita raMambo nderekutii, nekuti mambo harisi zita, mambo chinzvimbo.

Chinzvimbo chinongotiudza kuti munhu wacho anoita nezvei.

Chinzvimbo chinotitaridza basa kana danho remunhu asi hachitiudzi chinhu pamusoro pemunhu.

I VAKORINTE 10:2 uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa,

Kudzama kweGungwa Dzvuku kwakazarura gwara kuti maJuda adarike.

Vakafamba negwara iri renyika yakaoma mvura yakaungana mumativi mavo yakadarika misoro yavo. Dai Mwari asina kubata mvura vangadai vakafushirwa zvakazara pasi pemvura. (Mucherechedzo weRubapatidzo rwekunyikwa zvakazara mumvura).

Pauro akataura kuti izvi mucherechedzo werubapatidzo rwemvura.

Mucherechedzo wekuti mvura zhinji inenge iripo.

Chiitiko ichi hachisi mufananidzo wekumwaiwa mvura mumusoro wemunhu.

VaIsraeri vakabuda vari vapenyu nekuti vakabapatidzwa muzita raMosesi.

Zita rakakosha nekuti zita rinoratidza hunhu hwemunhu.

EKSODO 2:10 Mwana akakura akandomuisa kumukunda waFarao, akava Mwanakomana wake. Akamutumidza zita rinonzi Mosesi akati: Nokuti ndakamunyurura mumvura.

Zita rekuti Mosesi rinoreva kuti achabuda mumvura ari mupenyu.

Murubapatidzo, pachinzvimbo chekufukidzwa nevhu, mvura inotifukidza uri mucherechedzo wekuvigwa.

Asi Mosesi aive musununguri nekuti aizobuda mumvura, mucherechedzo wekumuka kubva kuvakafa.

Saka, Mosesi akatamba chikamu chakakosha kwazvo chekuratidzira hushumiri hwaKristu hwaizouya.

Chiitiko ichi chakakosha sezvo chichiyananisa rubapatidzo rwemvura naMosesi kupfungwa yezita rakakosha. Zita rinogona kunyururwa mumvura dzerufu murumuko rweupenyu.

Jesu ega ndiye anogona kuita izvozvo.

Baba naMweya Mutsvene, kana zviri zvinzvimbo zveVanhu vakasiyana, havagoni kufa nekuvigwa. Saka, havasi chikamu chechiitiko ichi.

VaEgipita vaidawo kutevera rubapatidzo rwavo sezvo vakapinda mumvura dzakazarurwa muzita raFarao. Asi rwakava rubapatidzo rwerufu.

Nei, nekuti Farao chinzvimbo. VaEgipita vose vakaparara vakanyura. Mucherechedzo wevasikana mapenzi vakaponeswa vanopesana neKuuya kwaShe vanourayiwa munguva yeKutambudzika kukuru.

Chiitiko chegungwa rakadzama ichi iyambiro kwatiri. Chinzvimbo hachitsivi zita.

Yambiro. Hatifaniri kuda kufa kwevamwe, sekuda kwaiita vaEgipita kuuraya vaivapikisa muchitendero vakaguma vafa vari ivo.

Rubapatidzo rwekumwaiwa mvura kana rubapatidzo muzita rezvinzvimbo zvitatu, Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene ruchatiendesa kurufu rwedu munguva yeKutambudzika kukuru.

Tarisai rubapatidzo chairwo rwakaitika muTestamente Itsva.

Chekutanga, Petro muredzi mukuru, akatora maJuda Musi wePentekositi.

Petro aive mupostora aive nekiyi yekuzarura Mukova weDenga.

Jesu akataura naPetro achiti:

MATEO 16:19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga

Nhanho yekutanga yekuenda Kudenga yaive kutendeuka. Kutendeuka ndiyo yega nzira yekusuka zvivi zvedu. Zvinotiponesa kubva kuGehena. Tozoenda Kudenga.

Nhanho yepiri yaive rubapatidzo muzita raJesu Kristu kuti Mwenga atore zita reChikomba chake. Hatigoni kuvachikamu cheMwenga Kudenga, kunze kwekunge tiine zita rake.

Mwenga achange ari pedo kwazvo naJesu zvekuti achave panzvimbo yakanaka Kudenga.

Mabasa 2:38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubapatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.

Tangai kutendeuka, musati mabapatidzwa. Saka, vana havagoni kubapatidzwa.

Zita ndiJesu. Chinzvimbo chekuti Kristu chinotiudza kuti ndiJesu upi.

Firipi anoparidza kuvaSamaria (vanoti chikamu maJuda chikamu vaHedeni).

MABASA 8:12 Zvino vakati vatenda Firipi achiparidza mashoko akanaka nezveushe hwaMwari uye nezvezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa vese varume nevakadzi.

Zvakare zita raJesu Kristu rinoyanana nerubapatidzo rwemvura urwu.

Asi Petro aive mupostora aive nekiyi yekuzarura mukova weKudenga. Saka Petro aifanira kudaidzwa kuti adaidze vaSamaria.

MABASA 8:14 Zvino vaapositori vaiva paJerusarema vakati vanzwa kuti Samaria yagamuchira shoko raMwari, vakatumira kwavari Petro naJohwani;

MABASA 8:15 ivo vakati vaburukirako vakavanyengeterera, kuti vagamuchire Mweya Mutsvene;

MABASA 8:16 nokuti wakange asati aburukira pamusoro peumwe wavo, asi vakange vabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu chete.

Mazviona. Mupostora paaiparidza Jesu, vaibapatidza muzita raJesu.

Ishe chinzvimbo zvakare chinojekesa kuti Jesu ndiMwari.

Tomasi akati, Ishe wangu naMwari wangu.

JOHANE 20:28 Zvino Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu naMwari wangu!

Saka, Ishe Jesu anotiudza kuti ndiJesu upi watiri kutaura nezvake chaiye. Nekuti Zita rake ndiJesu.

Zita “raJesu Kristu” ndiJesu. Kristu chinzvimbo.

Zita “raShe Jesu” ndiJesu. Ishe chinzvimbo.

Zita “raIshe Jesu Kristu” ndiJesu, Ishe naKristu zvinzvimbo.

Saka, hapana musiyano pakati “pezita raIshe Jesu Kristu”. Nekuti, “zita raShe Jesu” nezita raShe Jesu Kristu”. Nekuti munhau imwe neimwe zita ndiJesu.

Petro ari muredzi ane makiyi, akadaidzawo vaHedeni.

MABASA 10:36 Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).

Saka, Jesu Kristu ndiShe.

MABASA 10:48 Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raIshe. Ipapo vakamukumbira kuti agare mamwe mazuva.

Sezvo Jesu Kristu ari Ishe, zita raIshe ndiJesu.

Kiyi yaPetro yechipiri yakasinga rubapatidzo rwaJohane.

Asi tinoramba tiine dambudziko rimwechete. Rubapatidzo rwaJohane Mubapatidzi.

Johane Mubapatidzi haana kubapatidza nezita.

Asi rubapatidzo rutsva rwaPetro runotaura zita rekuti Jesu iro Mwenga anofanira kudanwa naro kuti ave chikamu cheChikomba chake.

Johane aive asisipo asi ko avo vaive vambobapatidzwa nerubapatidzo rwake?

Rubapatidzo rwaJohane rwaive rwuchiri kushanda here? Kwete nekuti rubapatidzo rwaJohane rwaive rwusina zita.

Mwenga haagoni kugara asina zita rechikomba chake.

Pauro akataura neboka revanhu vaitevera Johane paEfeso.

MABASA 19:4 Zvino Pauro wakati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu kuti vatende kuna iye anouya shure kwake, ndiko kuti, kuna Kristu Jesu.

Johane Mubapatidzi akayambira vanhu kuti Jesu aizotora simba nebasa mumashure make.

Rubapatidzo rwaJohane rwaive nhanho yepakati. Rwaibva pakuti Jesu aizodii kana auya mumashure maJohane.Johane aingori mukuru wenzira yaJesu.

Jesu akapa kiyi yehushe hweDenga (inomiririra kunzwisisa kwenguva nomwe dzemakereke sezvakatsanangurwa kuna Mateo Chitsauko 13) kuna Petro.

Petro aifanira kuzarura mukova weDenga kuvanhu vechiHedeni.

Petro aifanira kusunga chimwe chinhu asati asunungura chimwe.

MATEO 16:19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.

MARKO 1:4 Johane wakati achibapatidza murenje, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeukira kukanganwiro yezvivi;

Ropa raJesu raive risati radeurwa. Saka, Mwari vaitambira rubapatidzo rwaJohane rwemvura kwenguva duku sekutendeuka.

Petro aizofanira kumisa rubapatidzo rwaJohane sezvo rwaive rwusisashandi apo ropa raJesu rakadeurwa.

VAHEBERU 9:22 Zvino zvinhu zvinenge zvese maererano nemurairo zvinonatswa neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kanganwiro

Petro akasunungura pfungwa yekutendeuka kwekuregererwa kwezvivi kuti tipinde Denga, akatevera izvi nerubapatidzo muzita raJesu Kristu.

Izvi zvinogonesa Mwenga kutora zita raJesu seMurume wake.

Vanenge vave vaKristu, semwenga anova mukadzi wemurume wake.

GWARO REZVECHITENDERO (HASTINGS ENCYCLOPEDIA OF RELIGION)
Vol 2, Pg 377 on ACTS 2:38
Zita kutaura kwekare kunoshandiswa kudaidza “munhu”. Muripo waigaroitwa muzita remunhu anenge ari muridzi.

Saka, munhu anobapatidzwa muZita raJesu anoita pfuma yake. “Muri vaKristu”.

Mukadzi haagoni kunge akaroorwa nemunhu kunze kwekunge atora zita rake.

Asi, nekushandisa zita raJesu, Petro aive nerubapatidzo rutsva rune mvumo yezita idzva Jesu, rinosunga nekugumisa rubapatidzo rwaJohane rusina zita.

MABASA 19:5 Zvino vakati vanzwa, vakabapatidzwa muzita raIshe Jesu

Nzira yakanaka yekuti Satani apikise rubapatidzo rutsva urwu ndeyekuti neimwe nzira akawana mukana wekubvisa zita.

MATEO 28:19 Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabapatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;

Makereke anozidaidza kuti nzira yerubapatidzo.

Asi hatina kunzi tibapatidzwe nenzira. Tinofanira kubapatidza muzita.

Rubapatidzo muzita raJesu runozadzisa Mateo 28:19 apo Jesu anozviratidza ari nyama.

Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene zvinotsanangura kuzara kwehuMwari.

Asi kuzara kwehuMwari kunogara muna Jesu Kristu pamuviri.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri. 

Saka, zita rekuzara kwaMwari remunhu ndiJesu.

Saka, Zita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene ndiJesu Kristu.

Jesu ndiye Mwari, achiburuka (Jorodani) kuuya padanho redu.

Mupostora Johane akafa nguva yakapoteredza AD 100. Nerufu rwake, hakuna kuita hutungamiriri hwakaonekwa hwakazivisa chokwadi.

Makereke ane shungu akada kutonga vamwe akaita shanduko dzaakaita kusimbisa hutongi hwawo.

Nekufamba kwenguva, makereke akada kushandura mapegani netiriniti yavo zvikava nyore nekuti makereke akabva atorawo tsika yeTiriniti.

Madzibaba emakereke, mushure mekufa kwemapostora, akashandisa zivo dzemaGiriki kuyananisa chiKristu nechipegani. Izvi zvakaita kuti zvive nyore kuti mapegani asununguke mukereke.

Zivo dzemaGiriki dzakaisa chipegani muchiKristu kuti kereke itambirike kumapegani.

Mukufamba kwemasenturi, pfungwa itsva yeTiriniti yakaura kubva mumidzi yayo yechipegani.

“Nheyo dzerudzi rwekuita kwakabva (Mateo 28:19 vanotenda kuTiriniti) basa rekutenda rakatora mufananidzo munguva yesenturi rechipiri nerechitatu (patati pegore AD 101 – 299) mukuyanana nemutambo werubapatidzo. Ikozvino nzvimbo yekwazvakabva ichiri nhau iri kushungurudza, zvakanyorwa (Mateo 28:19) zvakabva kuguta reRoma.

Zvakabva: Cardinal Ratzinger, Joseph (1968. Zvakaziviswa kuchiKristu, Munich pp, 82,83)

Cadhinari Ratzinger akaitwa Pope Benedict 16 kubva muna 2005 kusvika 2013.

Gwaro reCatholic Encyclopedia

“Nzira yerubapatidzo yakashandurwa kubva muzira raJesu Kristu kuiswa mumazwi Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene nekereke yeCatholic musenturi rechipiri.” (p.263)

Tarirai kutaura kwekuti “mazwi” Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene haasi zita.

 

Pope Pelagius (556-560)

“kune vakawanda vanoti vanobapatidza muzita raKristu chete nekunyika munhu kamwechete.”

Zvakabva: Burrage, H.S. (1879). Kuita kwerubapatidzo munhorondo yekereke yemaKristu. Philadelphia: American Baptist Publication Society, p.38.

Pope aibvuma kuti mamwe maKristu aive achiri kuteerera mapostora eTestamente Itsva, chero hazvo Pope aive asisaite izvozvo.

Catholic Catechism

“Muna Kristu. Bhaibheri rinotiudza kuti maKristu aibapatidzwa muna Kristu. Aive aKristu. Mabasa avaPostora (2:38; 8:16; 10:48; 19:5) anotiudza pamusoro pekubapatidza “muzita (remunhu) raJesu.” - kuturikirwa kuri nani kunenge kuri “muzita (remunhu) Jesu.”

Musenturi rechina chete (AD 300- 399) ndimo makashanda nzira yekuti “Muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene” zvikava tsika.”

Zvakabva: Kersten, J.C, (1973). Katikasi reBhaibheri. NY., N.Y.: Catholic Book Publishing Co., p. 164

Kutaura kwekuti Tirias kwakatanga kushandiswa naThiofiriasi wekuAntiokia (AD 180).

Kanzuru yeNicaea: Kanzuru yeNicaea muna AD 325 yakasimbiswa kushandiswa kweTiriniti murubapatidzo, vachitsigira kufanana kwaBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene muhuMwari.

Muna AD 325 Mubati weRima Constantine akamanikidzira Bhishopu paKanzuru yeNicaea kugashira dzidziso yeTiriniti.

BRITANNICA ENCYCLOPEDIA
Gwaro rechi11, Vol 3, Pg 365-366
Nzira yerubapatidzo yakashandurwa kubva muzita raJESU KRISTU kueiswa mumazwi Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene nekereke yeCatholic musenturi rechipiri.

BRITANNICA ENCYCLOPEDIA
Vol 3, Pg 82
kwese muzvinyorwa zvakare zvinotaura kuti rubapatidzo rwaiitwa muzita raJesu Kristu.

CANNEY ENCYCLOPEDIA OF RELIGION
Pg 53
Kereke yekutanga yaingobapatidza muzita raShe Jesu kusvikira kugadzirwa kwakazoitwa tiriniti musenturi rechipiri.

CATHOLIC ENCYCLOPEDIA
Vol 2, Pg 263
Pano maCatholic akabvuma kuti rubapatidzo rwakashandurwa nekereke yeCatholic.

HASTINGS ENCYCLOPEDIA OF RELIGION
Vol 2, Pg 377
Rubapatidzo rwemaKristu rwakaitwa vachishandisa mazwi anoti “Muzita raJesu”.
Vol 2, Pg 378
kushandiswa kwenzira yeTiriniti yechero rudzi kwaive kusina kuwanikwa munhorondo yechero kereke yekutanga.

Tertullian (ca, 165-220) akapinza hutatu hwaMwari, ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti Tiriniti. Zvisinei, aive asina kunzwisisa kwakazara uye kwakakwana kweTiriniti.

Mabhishopu aive achiri kuedza kushandura zvese zvairwisa vachiedza kutsigira Vanhu vatatu vari muhuMwari. Umwe neumwe weVanhu vatatu ava ndiMwari asi kuina Mwari mumwechete.

Zvisinei nekufamba kwaiita masenturi, Tiriniti yakaramba iri chakavanzika tsoro isingagadzirisike.

 

St. Anselm, ari mumweya waAugustin aiti “Vatatu handizivi kuti chisiri chii” (tresnescio quid).

(St. Anselm, in Marsh 1994:133).

 

Billy Graham, muvhangeri akazivikanwa kwazvo, akataura pamusoro peTiriniti akabvuma kuti aisainzwisisa.

Asi zuva richauya rekuti zvichagoneka kunzwisisa chakavanzika chehuMwari.

“Zvichadaro”, kana tisina kurasiswa zvakanyanya nekutaura kwemakereke edu kusingagoneki kusimo muMagwaro kwevanhu vatatu mumumwechete kwavakawana mumapegani akare.

ZVAKAZARURWA 10:7 “Zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa”

Kana chakavanzika chekuzara kwehuMwari chaziviswa, ipapo zviri pachena kuti, Mwari achava Munhu mumwechete kwete Tiriniti (haigoni kunzwisisika).

 

VekuBabironi ndivo vakagadzira Tiriniti yechipegani


 

Mvura zhinji yaNoa yakafukidza nyika yese sekufukidzwa kwakaitwa mwana nemvura ari mudumbu raamai vake.

GENESISI 9:11 Ndichaita sungano yangu nemi, zvose zvenyama hazvingazopedzwizve nemvura zhinji; mvura zhinji haingazovipo zve kuti iparadze nyika.

Mwari akavimbisa kuti hakuna imwe mvura zhinji ichaparadza pasi rese.

Nimrodi nevaBabironi vaida kuvaka rusvingo rwaisvika kudenga. Pamusoro payo paizova pamusoro pechero dutu remvura raizoya. Nimurodi haana kutenda muShoko raMwari reChivimbiso.

GENESISI 11:4 Vakati huyai; ngatizvivakirei guta nerusvingo, rwunomusoro unosvikira Kudenga; kuti tizviitire mukurumbira kuti tirege kupararira nenyika yese.

Musoro werusvingo wakasvika kudenga zvaireva kuti vaive vapedo naMwari kudarika mamwe marudzi evanhu ose.

Kune marudzi anodarika 2000 emakereke nemasangano awo nhasi. Imwe neimwe ine kukanganisa kumwechete uku kwekunzwa kunge kereke yavo ivo ndiyo iri pedyo naMwari kudarika mamwe makereke ese.

Asi hakuna chiprofita chekupedzisira chakataura zvakanaka pamusoro pekereke munguva yekupedzisira.

Hakuna mufananidzo pamusoro penguva yekereke yekupedzisira wakataura zvakanaka pamusoro pedu.

“Tizviitire mukurumbira” zvinoreva kuti vane mbiri uye vakakosha kudarika vamwe vese.

“Kuti tisapararire” zvinoreva kuti vaikoshesa “mafungiro eboka” vachisimbisa kubatana nekuwirirana pachinhu chimwechete.

Vaida kuzviitira zita vaite mukurumbira.

Ndicho chikonzero nei vanhu vachiungana mumapoka, kuti zita reboka iroro rive nemukurumbira.

Makereke enoita kukanganisa kumwechete uku.

VekwaLuther, maMethodisiti, maPentekositi, Evangeri rakazara, maRoman Catholic, vemharidzo.

Boka rinoda kuzviitira zita nemukurumbira seboka guru, ndiko kunzwa kunge vari pedyo nedenga kwavanobva vaita. Mapoka makuru akakosha mumaziso avo.

Vatendi vekutanga vaingodaidzwa kuti maKristu. Vaive vaKristu, kwete vekereke.

Vaingoda kusimudzira zita rimwechete, Jesu kuti riite mukurumbira.

JOHANE 12:32 “Nenivo kana ndasimudzwa panyika ndichakwevera vose kwandiri.”

GENESISI 9:1 Zvino Mwari akaropafadza Noa nevanakomana vake akati: Berekai, muwande, muzadze nyika

Izvi zvinoreva kuti Mwari aida kti vapararire. Vazadze nyika.

Asi vaisazoita mukurumbira nekuti vaizova mumapoka maduku akapararira.

Kereke yekutanga yemapostora haina kukwanisa kuita boka guru nekuti vaisanganirana mudzimba kwemakore 200 ekutanga.

Humbowo hwekutangisisa hwechivakwa chekereke hwakacherwa hwaive hwegore AD 220.

Saka, vanhu vekuBabironi vakamukira Mwari. Vaisada kutevera nzira dzemafungiro ake.

Vakavaka rusvingo rukuru kuti vanhu vagare munzvimbo imwechete, sehutongi hwaive pasi pemunhu mumwechete achitonga. Munhu mumwechete akazviitira mbiri, Nimurodi.

Rusvingo rwainzi Baberi, zvinoreva kuti Masuwo edenga kana kuti kukanganisika. Baberi.

Makereke ane dambudziko rimwechete. Vanozvion seMasuwo edenga kusvikira wavabvunza kuti ko zita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene nderekutii. Havagoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu, saka vanoshandira Mwari asina Zita. Asi vakazviitira zita guru remakereke avo nevakuru vawo.

Mwari akasika mitauro yakasiyana kuitira vavaki verusvingo rweBaberi ava kuti vakanganisike pavanotaura.

Asi tsika dzakasiyana siyana idzi dzaive navamwari vetiriniti vaive vakasungana vakaenzana.

Vamwari vavo veTriniti vaive vakaitwa nehuremu humwechete.

Vanhu vaviri, Baba nemwanakomana, nemukadzi mumwe.

Babironi: Nimurodi- baba Semiramisi – mai Tammuzi Mwanakomana akamuka kubva kuvakafa ari mune umwe mutumbi.

Tammuzi ndiye ega munhu akadaidzwa kuti (El Bar) Eri Bari (mwari mwanakomana).

Bhaibheri harina kumbotaura pamusoro “Mwari Mwanakomana”, nekuti Mwari haasi munhu.

Makereke anhasi neTiriniti yavo isimo muMagwaro, Kisimusi yavo isimo muMagwaro, 25 Zvita isimo Mumagwaro, neChishanu Chakanaka chisimo muMagwaro, vanosanganisira zvakare zvine mufaro “Mwari Mwanakomana” asimo muMagwaro. Kwoita “Mwari Mweya Mutsvene” akakandirwawo imomo.

Egipita: Isisi – mai Osirisi – baba Horasi – mwanakomana

Vanhu vatatu pachigaro chehushe chimwechete.

 

 

Vanhu vatatu pachigaro chehushe ndiwo mufananidzo une mbiri wehuMwari hwetiriniti.

Girisi: Zuesi Apolo Athena

Roma: Jupita Mars Venus

India: Beahma Vishnu Shiva kana kuti Siva misoro yevarume vatatu pamutsipa umwechete.

 

 

India yaive nesarudzo dzakati wandei sezvo vaive nevarume vatatu mutiriniti yavo.

Hushe hwaAlexander hwakabva kuGirisi kuenda kuEgipita nekuIndia huchibva hwaparara.

Kubva kuEgipita kwaive nemufananidzo wevanhu vatatu pachigaro chimwechete varume vaviri nemukadzi umwe.

Kubva kuIndia kwaive nemufananidzo waive nevarume vatatu.

Kubva kuGirisi kwaive nepfungwa yekuti vatatu-mumwe, nehwanakomana husina magumo, uye vaive -nekuita -kumwechete (zvisinei nekuti zvinorevei), nekuenzana.

Vanhu vatatu kunaMwari vamwechete (vatatu mumwe) zvinorwisa zviri pachena 1 Johane 5:7 inotaura kuti vatatu ava munhu mumwe.

I JOHANE 5:7 ... uye ava vatatu ndimumwe.

Vhesi iri harina kutaurwa muBhaibheri ranhasi.

Kuenzana pakati paBaba neMwanakomana hazvirevi chinhu.

JOHANE 14:28 ... nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23