Zviitiko zvenguva inouya, zvakaprofitwa muMagwaro, Chikamu 1



First published on the 13th of January 2020 — Last updated on the 13th of January 2020

Muti wehupenyu mumunda weEdeni waive Mweya waKristu. Ndiye aive pakati pezvese.

GENESISI 2:9 … Vuye muti wovupenyu pakati pomunda,

Eva Akawira muchivi, Jesu akabva akaenda kumuganhu wekumabvazuva kuti ave musuwo uko vatadzi vanozodzoka nawo muParadiso. Zvakare Jesu ndiye ari pakati seMusuwo ndiye ega nzira yedu yekudzoka nayo.

GENESISI 3:24 Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubi kurutivi rwamabvazuva rwemunda weEdeni nomurazvo womoto waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti wovupenyu.

Tinofanira kuchengetedza nzira yeBhaibheri. Hatifaniri kushandura nzira yakanyorwa nayo Bhaibheri.

JOHANE 14:6 Jesu akati kwaari, Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu:

Saka aive pakati akazoenda pamuganhu wemunda weEdeni.

 

 

Isaya akataura pamusoro pearitari uye mbiru dziri pamiganhu yeEgipita uye pakati payo. Zvinotaura pamusoro peMuponesi.

ISAYA 19:19 Nezuva iro pakati penyika yeEgipita pachava neartari kunaJEHOVA, nembiru pamuganhu waro kuna JEHOVA.

20 Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehova wehondo panyika yeEgipita, nokuti vachadanidzira kunaJEHOVA nemhaka yavamanikidzi, uchavatumira muponesi nomurwiri, iye uchavaponesa.

Piramidhi guru reGaza riri pakati peareka yamunokwanisa kunyora kumahombekombe erwizi rweNairi parunosangana negungwa. Riri pamuganhu werenje kuruboshwe kwerwizi rweNairi. Gaza rukisheni ruri muCairo, guta guru reEgipita.

 

 

Kwaivewo kumuganhu weNairi kwaidaidzwa kuti Egipita yezasi neimwe nyika yese yeEgipita yaidaidzwa kuti Egipita yekumusoro.

Tarirai, artari inzvimbo yekunamatira. Iri pamuganhu uye pakati. Semuti weHupenyu (Mweya waKristu) muEdeni.

Piramidhi guru iri rine zvaringatiudze pamusoro paJesu here.

Piramidhi guru riri muEgipita harina musoro wekona. (Zvakati ratidzwei pamufananidzo unotevera)

 

 

Piramidhi rakamirira musoro waro mufananidzo mukuru wekumirira kuuya kwaJesu.

Izvi zvinoreva zvinhu zviviri kwatiri isu vanhu.

Kuuya kwakavanzika kwaJesu kwechipiri kuzotora Mwenga wake kuvaHedeni achisangana navo kumakore kuti vapesane nenguva yeKutambudzika kukuru. (kutorwa uku kazhinji kunodaidzwa nevanhu kuti “repucha” kukwira kuDenga mukubwaira kweziso).

Zvino mumashure menguva yekutambudzika kukuru kunouya kudzoka kwaJesu kunoonekwa nejekerere. Kuuya kwechitatu kwekupedzisira kwaJesu uku anenge ane vatsvene vake veTestamente yekare uye veTestamente Itsva kuzotonga mukati memakore 1 000 erugare, anodaidzwa kuti Mereniyamu.

Kuuya kweChitatu kwaJesu nevatsvene vake vese veDenga kunotenderana nechiprofita chaEnoch.

JUDASI 1:14 Enoki, wechinomwe kubva kuna Adamu, wakaprofitera ivava, achiti, Tarira Ishe wakavuya navatsvene vake vanezvuru zvamazana,

Mukati mepiramidhi guru ndiro rega piramidhi rine makamuri nenzira mariri. Izvi zviri kuedza kutiudza chimwe chinhu.

 

 

Imba yamambo (inoratidzwa muruvara rutsvuku ine guva risina munhu.

Uyu mucherechedzo mukuru weKuuya kweKutanga kwaJesu paakamuka kubva kuvakafa achisiya guva risina munhu.

Jesus is the only religious Leader Whoever managed to defeat Death. Jesu ndiye ega Mutungamiri wezvechitendero akakwanisa kukurrira Rufu.

Guva rake risina munhu ndiro mucherechedzo mukuru wekukurira kwake kukuru pamusoro peRufu, Hadhesi neGuva.

Saka Piramidhi guru, rakavakwa kare kare mumhute dzenguva, rinokwanisa kuonekwa sechiprofita cheKuuya kweKutanga kwaJesu pakutanga kwenguva dzemakereke. Nekuuya kwake kwenguva inotevera Kwechipiri pakupera kwenguva nomwe dzemakereke achiuya kuzotora Mwenga wake uyezve Kuuya kwake kweChitatu kunozouya achiuya kuAmagedhoni achiuya neMwenga wake nevatsvene veTestamente Yekare kuzopedzisa nguva yeKutambudzika kukuru.

Saka Piramidhi guru rakavakwa muchiprofita naEnoch Mvura yaNoah isati yauya.

Rinoratidza kuti kuuya kwaJesu ndizvo zviitiko zvikuru muzviitiko zvenhorondo yepasi rino.

MARAKI 3:6  Nokuti ini JEHOVA, handishanduki;

Kana Mwari asingashanduki, Kuuya kwake kwechipiri pakupera kwenguva dzemakereke kuchava nemicherechedzo yeKuuya kwake kweKutanga.

Vanhu vazhinji vanobatwa zvakanyanya nezviitiko zvemazuva ose ehupenyu hwavo asi vachitarisira kuenda kudenga rimwe remazuva.

Tinongofamba mukusaziva totarisira kuti zvinhu zvese zvichanaka munguva inouya.

Mabasa, mari, mhuri, chikafu, dzimba, motokari, midziyo, kufamba, mafaro, zvivhiti-vhiti, mbiri, mabhuku emeso, nezvimwe zvakadaro zvinotora nguva yedu zhinji yekushanda.

Kuita kwemazuva ese uku kunoita kuti Denga rive chinhu chisina maturo kuvanhu vazhinji.

Kutsvanga “Nguva Yakanaka” pakupera kwehupenyu hwedu.

 

 

Asi tinoverenga kana kunzwa zvidimbu zvebhuku raZvakazarurwa tichiona kuti kune zviitiko zvinotyisa nguva inouya.

Pfungwa yakavanda asi inoshungurudza yekuti chimwe chinhu chakaipa chinogona kuitika.

Nguva inonzi yeKutambudzika kukuru ine chikara chakatsamwa, hwamanda dzinotyisa, kutongwa kunotyisa, kudengenyeka kwenyika, nekunaya kwemoto.

Asi tine chokwadi chekuti Mwari anotiwanira nzira yekupunyuka kune izvi.

Pamusoro pazvose, Mwari ndiMwari vane rudo. Anoda vanhu tinobva tazviti hatinei nekufunga pamusoro pekutongwa.

Vanhu vazhinji havana chokwadi kana ruzivo rwakakwana rwekutonga kwaMwari.

Tinofunga kuti kana tikangoponeswa chete tikapa moyo yedu kuna Jesu Kristu, tinobva taponeswa kubva munguva yeKutambudzika iri kuuya.

“Chingoponeswa” ndiko kutaura kukuru kwevanoenda kumakereke nhasi. “Woenda kukereke kakawanda unenge uri pakanaka”.

Zvinosuwisa kune makereke akasiyana-siyana anosvika 45,000.

Ese akasiyana asi imwe neimwe inoti ndiyo inogona. (izvi hazvina maturo asi tinozvisiya zvakadaro hatifungisisi nezvazvo). Saka chingosarudza kereke inokuitira. Zvinenge zvagadzirisika. Ndiko kufunga kwedu.

“Ko mamwe makereke ese akasiyana aya?” tinongofuratira dambudziko iri nekuti hatizivi kuti torigadzirisa sei.

Kana ndikaenda kakawanda kukereke KWANGU ndikasapokana nemufundisi kana pasita wangu ndinokwira kudenga pakutorwa kwevatsvene muKubwaira kweziso”. Kuterera kwangu pane zvinotendwa mukereke mangu kunondipinza Denga. Ndine tariro.

Nenzira iyoyo ndichapesana nenguva yeKutambudzika kukuru nekuipa kwayo kwese ndoguma ndava pakachengetedzeka kudenga.

Zvinorevawo kuti ndinogona kufuratira mibvunzo mizhinji yakaomarara iri muBhaimberi. Ko ndonetsekerei. Kutoita nungo.

Zvinhu zvese zvichange ZVAKANAKA. Matambudziko achanyangarika, toenderera mberi.

Saka kukwira kudenga mukubwaira kweziso inzira inorasisa yekukunda nayo.

Kuponeswa kubva kugehena kwakakwana kuti tive pakati pevanotorwa naKristu kuti tikwire kudenga mukubwaira kweziso. Ndizvo zvatinofunga.

 

 

Kana tichitenda izvozvo, tinogonawo kungotenda mumayunikoni (rudzi rwenyati), mhuka ine nyanga imwechete. Dzaive mhuka dzakasimba, dzakataurwa katanhatu muBhaibheri asi hadzichawanikwe zvachose.

Rangarirai, Bhaibheri ibhuku rakakura ratinowana rairo dzedu kubva kwariri. Nei rakanyorwa zvinhu zvakawanda kudaro kana ndichingofanira kutendeuka ndoponeswa chete?

Kune anonzi “mayunikoni” pamusika wemari. Makambani anokosha mari zhinji (inodarika bhiriyoni remadhora) anoratidzika zvinofadza, asi kazhinji ari muzvikwereti zvikuru uye mari dzavo dzinokwanisa kungoputika dzikaparara chero nguva.

Tinofanira kungwarira kuti zvinotendwa mukereke medu hazviputiki kana zvikapimwa neMagwaro. Pakupedzisira kwehushe hweBabironi, muprofita Danieri akaudza mambo Belshazari kuti hushe hwake hwaive hwapimwa pachiyero hukawanikwa huchida kugadziriswa. Husiku ihwohwo Belshazari akabva auraiwa pakauya maMediani nevaPesia.

Pauro anoti tisakwereta chero munhu, asi kudanana.

VAROMA 13:8 Musava nechikwereti nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe wazadzisa murairo.

Munodaro muchitenda kuKisimusi (izwi risimo muMagwaro) musi wa 25 Zvita (zuva risimo muMagwaro.

Kisimusi imasi yeRoma inonzi ndeyaKristu mufaro wemukereke unoparadzwa kana tikauedza neMagwaro. Hapana patakanzi tipemberere kuzvarwa kwaShe.

Vazivi vekumabvazuva havana kubvira vaona rusvava muchidyiro, vakaona mwana mumba.

MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawana Mwana naMaria mai vake, vakawira pasi, vakamunamata:

Ndezvipi zvimwe zviri kukanganiswa nemakereke?

Pauro akataura achipikisa mhemberero dzenguva nenguva pazuva rakatarwa serudzi rwekuita kwehuranda.

VAGARATIA 4:9 Asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozvivikanwa naMwari, modzokerazve seiko kunezvokuvamba, zvisinesimba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?

10 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.

11 Ndinotya nemi, kuti zvimwe ndakabate basa pasina.

MuKristu werudzi urwu, mumafungiro aPauro, kutambisa nguva kwaakaita.

Pauro aive asina nguva yekudisa kwedu kwatinoita mabhavhadhe.

“Munochengeta misi, (25 musi) nemwedzi (Zvita) nenguva (nguva yeKisimusi), nemakore” (gore rega-rega)

Musi wa 25 Zvita wakatevedzerwa kana kutorwa kubva kuRoma yehipegani riri bhavhadhe rekuzvarwa kwaMwari wezuva, Sol Invictus. “Zuva Risingakundiki”. Zvinoita sekuti musi wemapegani uyu wakakurira vanoenda kumakereke nhasi.

Mubati weRoma yechipegani Aurelian muna 274 AD akaita 25 Zvita zuva rakazvarwa mwari wavo wezuva. Makore akapoteredza 350 AD bhishopu weRoma, Julius I, akatora musi uyu kuuita zuva rakazvarwa Jesu, Mwanakomana waMwari. Vanasikana veRoma vakabuda mairi vakatevedzera mai vavo Roman Catholic vakatorawo vakapemberera Kisimusi. Saka kereke yakavaka kutenda kwayo patsika dzechipegani.

Chokwadi, chinosanganisa kutsvaga Magwaro, chinouraya mufaro uyu wetsika dzisimo muMagwaro.

Kugadzirira kwaunoita kuenda kudenga, muchitora nguva shoma/ mari/ simba renyu, ndikowo kuderedza mikana yekubata kwenguva yeKutambudzika kukuru pamuri.

Ngatitarisei nekukasika zviitiko zvenguva inouya, tisingatauri pamusoro peMagwaro.

Izvi zvozoteverwa nekutarisa Magwaro, kuti tiise nhanho dzezvichaitika nguva inouya.

Mufananidzo unotevera ndiwo mufananidzo mukuru unotarisa Mwenga.

 

 

Hushumiri hwaJesu hwakaita makore matatu nehafu.

Akafa pamuchinjikwa Mweya wake ukaenda kugehena kwemazuva anoda kukwana matatu.

Kumuka kwake kubva kuvakafa kwaive pazuva rechitatu kuti Muviri wake usaone kuvora.

Akazoita mazuva makumi mana panyika achisangana nevanhu nemapoka evanhu.

Akazokwira kuDenga negore.

 

 

Onai webisaiti yechurchages.net

Ipapo muchasangana nechokwadi chakati dzamei chekuti hushumiri hwaJesu hwaive makore matatu nehafu.

 

 

Ngatitarisei muchinjikwa paCalvari.

1 VAKORINTE 2:8 Bwusina-kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinya.

Zvinoreva kuti Satani akaita kukanganisa kukuru paakaita kuti Jesu arovererwe.

Mudzimu mweya wemunhu akafa.

Midzimu yakaipa yevanhu vakafa chete ndiyo inoenda kuGehena.

Mweya Mutsvene waMwari waive usingagoni kuenda kuGehena nekuti Mwari haana kubvira afa uye Mwari haana zvivi.

Saka Jesu aifanira kutora zvivi zvedu pamusoro pake uye Satani paakagadzira rufu rwake, zvakaita kuti pave neMudzimu unoera, Mweya waJesu akafa. Mudzimu unoera, wakatakura zvivi zvedu, waikwanisa kupinda gehena kunorasira zvivi zvedu kuna Satani.

Kuuraya Jesu kwaive kukanganisa kukuru kwakaitwa naSatani.

1 Petro 3:19 Mauri wakandoparidzira vo mweya iri pakusungwa.

20 Yakanga isina kuterera kare, panguva iya moyo murefu waMwari uchimirira kugadzirwa kweareka pamazuva aNoa; mukati mayo vashoma, ivo vanhu vasere, vakaponeswa nemvura.

Pasi parutivi peGomba regehena paive neTorongo inorwadza. Ikoko mweya kana midzimu yevatadzi vakafa inogaramo yakamirira Musi wekutongwa.

Uku ndiko kwaive kuita kwetatu kwehushumiri hwaJesu, kuparidzira vakarasika zvakazara.

Vakaramba kuparidza kwaNoa nguva yemakore 120.

Zvino Mudzimu unoyera waive wavamo muhusungwa umu pamukova weTorongo kunozadzisa kuti zvaive zvaparidzwa naNoa zvaive idi uye kuti vaive vakafa kurashwa.

Ropa rechipiriso rinogona chete kuripira zvivi zvemunhu anorarama achiri neropa mumviri wake.

Mweya wemunhu akafa, nekuti wabuda mumuviri wake, haugoni kuponeswa neropa rechipiriso saka unenge wakafa kurasha.

Tinofanira kuponeswa tichiri vapenyu.

VAEFESO 4:10 Wakaburuka ndiye wakakwira vo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose)

Jesu wakaburukira kugehena kunokurira Satani.

Akabva akwira kuDenga kunotora vatsvene veTestamente Yekare kuti aende navo Kudenga.

Nzira yekukwira kumusoro unotanga waburuka pasi.

Jesu akatanga kuburuka, akazokwira kudenga.

Tinodzidza chidzidzo pano. Kuzvideredza kunouya nekubudirira.

VAROMA 6:3 Ko hamuzivi here kuti isu takabapatidzwa munaKristu Jesu, takabapatidzwa murufu rwake?

4 Naizvozvo pakubapatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesu vo tifambe novupenyu bwutsva.

5 Nokuti kana takava vamwe naye, pakufanana naye parufu rwake, tichadarovo pakumuka kwake:

Rubapatidzo rwemvura mucherechedzo wekufa, kuvigwa nekumuka kwaJesu.

Pasi pemvura hamugoni kufema. Saka mucherechedzo werufu.

Kubuda mumvura mucherechedzo waJesu achimuka kubva kuvakafa.

Jesu ndiye ega mutungamiri wechitendero akakunda kuita izvi paakamuka kubva kuvakafa.

Mwari Baba Mweya saka havafi. Mweya waMwari Baba haugoni kuvigwa.

Saka rubapatidzo muzita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene harurevi chinhu sezvo iye asina kubvira afa, haana kuvigwa, uye haana kumuka zvakare.

Mweya Mutsvene hauna zita muMagwaro. Saka kubapatidzwa muzita reMweya Mutsvene usina zita hakurevi chinhu. Kunyanya sezvo Mweya Mutsvene usina kubvira wafa, kana kuvigwa, kana mumuka zvakare.

Izwi guru rinoyanana nekumuka kuvakafa.

Mateo 27:50 Zvino Jesu wakadanidzira zve nenzwi guru, akarega mweya wake.

51 Ipapo, tarira, chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvika pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka;

52 Mabwiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yavatsvene, vakanga vavete, yakamutswa;

53 Vakabuda pamabwiro iye amuka, vakapinda muguta dzvene, vakavonekwa navazhinji.

 

 

Jesu akabva aita hushumiri hwemazuva makumi mana mumashure mekumutswa kwake.

Ichi chinhu chatinofanira kucherechedza nhasi.

 

 

Chiitiko chinotevera chatakatarisira kwachiri kumutswa kwevatsvene veTestamente Itsva.

 

 

Vatsvene veTestamente Yekare vakamuka vakaonekwa nevazhinji.

Zvimwechete zvinogona kwazvo kuitika panomutswa vatsvene veTestamente Itsva.

Asi kumuka uku chichava chinhu chakaomera vazhinji kuti vatambire kuti kwaitika.

Mumufananidzo wemupfumi naRazaro, mupfumi akakumbira kuti munhu akafa amutswe aende kunoyambira hama dzake.

RUKA 16:30 Iye akati kwete baba Abrahama, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendevuka.

31 Akati kwaari, Kana vasinganzwi Mosesi navaprofita havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.

Mhinduro yaidzikamisa.

Kana vanhu vasingatendi zvakanyorwa muBhaibheri, havangatendi kune vakafa kana vakamuka zvakare.

Vakafa vakamutswa vachange vachitaura zvinobva muMagwaro chete.

Vanhu vanotevera Magwaro zvakazara chete ndivo vachagona kunzwisisa zvavanotaura.

Vasikana vakapusa, vakanyengerwa nemakereke avo kuti vatende dzidziso dzisimo muMagwaro, vacharamba kutenda Magwaro anotaurwa nevatsvene vanenge vamutswa kubva muvakafa.

Vasikana vakapusa vakasiya kuzvifungira kare nekuti vanotenda zvese zvinotaurwa nevafundisi vavo. Ndiyo nzira yekusaterera yakaoma.

Saka vanokandirwa munguva yeKutambudzika kukuru kuti varasikirwe nekutenda kwavo muna pasita-wavanoti-musoro -wekereke iri nzira yehutungamiri hwakagadzwa pakereke.

Vanozotanga kudzidza kutsvaga nekunzvera Magwaro pachinzvimbo chekugara muhutapwa hwezvinotendwa mumakereke avo.

Kana nhorondo ikazvidzokorora, tichava nemazuva anosvika makumi mana ekuti tinenge tichiona vatsvene veTestamente Itsva vakamutswa uye kuti tigadzirire kushandurwa kwemiviri yedu.

Ruka anotaura pamusoro paJesu mumashure mekumuka Kwake.

MABASA 1:3 Vaakazviratidza vo kwavari nezviratidzo zvizhinji, ari mupenyu shure kwokutambudzika kwake, achivonekwa navo mazuva ana makumi manna, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari.

Pauro akawedzera kutaura zvakare pamusoro pemazuva makumi mana aya.

1 VAKORINTE 15:3 Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchira vo, kuti Kristu wakafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa paMagwaro.

4 Vuye kuti wakavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa paMagwaro.

5 Akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna vanegumi navaviri;

Kefasi ndiPetro.

6 Ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuvura mazana mashanu kamwe – vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vavata.

7 Ipapo akazviratidza kuna Jakobo, ipapo kunavapostora vose.

8 Pakupedzisira akazviratidza kwandiri vo, sokunowakazvarwa nguva isati yasvika.

Pauro ataura kuti Jesu akaonekwa nemapostora matatu mumwe nemumwe pake ega kaviri kuboka remapostora.

Saka kana vakafa munaKristu vakamutswa vachaonekwa nevanhu mumwe nemumwe pake ega nemapoka maduku akadzorerwa kudzidziso dzemapostora.

Jesu akambozviratidza kuboka guru revanhu 500, asi kwaingova nevanhu 120 vaive vakarindira muimba yemukati. Vanhu vasingasviki kota yevanhu vekutanga 500. saka havasi vese vanonzwa chokwadi vachaguma vakutevera chokwadi ichocho.

Zvino Jesu akabva apedzisa hushumiri hwake hwepanyika nekukwira kuDenga negore.

MABASA 1:9 Zvino wakati areva izvozvo, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuvona.

10 Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguvo chena;

11 Ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga.

Gore jena mucherechedzo wegore rezvapupu.

VAHEBERU 12:1 Naizvozvo, nesu vo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nenhangemutange yatakaisirwa.

2 tichitarira kunaJesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu;

Rakaburuka gore, sekukwira kwakaita Jesu kuDenga, rinomiririra vatsvene veTestamente Yekare vakakwira kuDenga pamwechete naye. Akavaburitsa muParadhiso yeTestamente Yekare akaenda navo kuDenga. Uyu waive mubairo wavo wekutenda munaMessiasi wavo aizouya.

Kudzoka kwaJesu kuchava muMuviri wake mumwechete wakamutswa uchiri nemavanga ezvipikiri.

Vanhu vaviri, vaive vatumwa, vanomiririra nhume mbiri kunguva dzemakereke dzine chokwadi chakazara.

Vaviri ava vaive nhume kukereke yekutanga nekukereke yekupedzisira. Izvi zvinoda kuti kereke yekupedzisira idzorerwe pakutenda kwekereke yekutanga.

Varume vaviri ava vanomirirawo maprofita maviri Mosesi naEria, vanoenda nechokwadi kumaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru.

Pakupedzisira, kune mapoka maviri, kereke yechokwadi, nemaJuda 144,000. Kuti ive kereke yechokwadi, nguva yekereke yekupedzisira inofanira kudzorerwa pakutenda kudzidziso dzekereke yekutanga. Kereke yevahedheni painokwira kudenga, Evangeri rinobva raenda kuboka repiri maJuda 144,000 vanosangana naMessiasi munguva yeKutambudzika kukuru.

Takatarisa kereke, Jesu akazvidaidza kuti Wokutanga noWokupedzisira.

ZVAKAZARURWA 21:6 ... Ndini Arfa neOmega, kutanga nokuguma:

Mutumwa wekutanga kukereke yeTestamente Itsva aive mupostora pauro akanyora hafu yeTestamente Itsva. Aive mutumwa kukereke yekutanga.

Mutumwa wekupedzisira kukereke aive muprofita William Branham kuAmerica, uyo pakati pemakore 1947 na 1965, akazivisa zvakavanzika zvakavanzwa muMagwaro. Kunzwisisa Magwaro uku kunodzorera Mwenga kunguva yekutanga yemapostora yanaPauro.

Asi mharidzo dzehama Branham dzinofanira kunzwisiswa nenhengo dzemwenga dzaive dzisati dzatombozvarwa pavakafa muna 1965. Hama Branham vakadzorera dzidziso dzatinofanira kuziva. Asi munhu mumwe nemumwe ari nhengo yeMwenga anofanira kunzwisisa chokwadi chakazara kuti vagotsigira zvavanotenda neMagwaro. Tinofanira kukwanisa kuzvifungira uye kugona kudzosera zvaakadzidzisa kunozvipima nemaMagwaro.

65-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA

… Kuti vanhu vakatenda Mharidzo yekuti Jesu Kristu akapa ini kunguva ino, vanogona kuziva kuti ndizvo zviri kuitika, vobva vazvidzosera muMagwaro.

65-0429 KUSARUDZA MWENGA

Apo, Mwenga wechokwadi anotora moyo waMwari, nekuchengeta Shoko rake.

 

 

Saka kudzorerwa kwakazara kuchaitika kana nhengo yekupedzisira yeMwenga munguva yekereke yekupedzisira agona kutsigira chokwadi neMagwaro. Nguva yekereke yekutanga yakazvizadzisira chokwadi cheMagwaro.

Munogona here kutsigira zvamunotenda nekuyananisa mavhesi eBhaibheri akasiyana siyana?

Munogona here kuronda zaruriro yenyu muBhaibheri rese kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa?

Kana kuti munongotevedzera zvakabatwa paitaura vaparidzi zvamunoturikira nenzira isingagoni kuronda gwara kubva kwakatangira kusvika kwakaperera Bhaibheri? Munongodzokorora zvakataurwa nevamwe vanhu here?

Jesu akabvunza vadzidzi vake mibvunzo miviri.

Vamwe vanhu vanoti ndiri ani?

Vakangotaura dzimwe mhinduro dzanga dzisiri dzechokwadi.

Uku ndiko kuita kwezvinotendwa nevanhu. Chero ndakavanzwa muchaunga. Chero ndichitaura zvinotaurwa nevamwe. Ndakachengetedzeka nekuti handizoiti basa rekuzvifungira ndega.

Izvi zvinodaidzwa kuti “kutaura kweungano”. Kudzokorora zvinhu zvine mbiri zvinotenderana neruzhinji.

Dambudziko nderekuti mumwe nemumwe haana kuziva zvaaizvifungira iye.

Zvino Jesu akabva avabvunza zvavaifunga ivo pachavo.

Vose vakaramba vanyerere.

Kuita kwevanhu chaiko, vaida kuziva zvaizotaurwa nevamwe ivo vasati vadaira.

Kutaura kweboka uku kuita kunotonga pfungwa kune simba kwazvo.

Panguva iyi, Petro ndiye ega akashinga kudaira. Petro ega ndiye akava nekushinga kwakakwana kuti azvifungire. Nekuda kweizvi, Petro akabva asimudzirwa pakarepo akapihwa makiyi eDenga.

MATEO 16:13 Jesu wakati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza vadzidzi vake, akati:Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiyaniko?

Tinoita setinogaroziva zvinotaurwa nevamwe vanhu. Kuita uku kunotiita maKristu echinzvimbo chechipiri.

MATEO 16:14 Vakati: Vamwe vanoti; Johane Mubapatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremia, kana mumwe wavaprofita.

Mazita akasiyana avakataura vese akangoburitsa pachena kuti hapana aiziva zvavaitaura nezvazvo.

Umwe neumwe akangotsika chikamu chake chemutsetse. Uye chikamu chimwe nechimwe chaive nemufungo wakasiyana. Kwaive kurasika kwakazara pamweya.

MATEO 16:15 Akati kwavari: ko imi munoti ndini aniko?

Shungu dzaMwari. Chekutanga, imi semunhu akazvimiririra munotenda mune zvipi kubva pasi pemoyo yenyu?

Chechipiri, mune hushingi here hwekumira muchipokana nevanhu vese vanenge vari vazhinji?

MATEO 16:16 Simon Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.

Munhu mumwechete akadavira zvichibva pamoyo pake. Akafara kupokana nevamwe vanhu vose.

MATEO 16:17 Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simon Bar-jona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi baba vangu vari kuDenga.

Petro aidaira zaruriro yemukati memoyo yaaive apuhwa naMwari.

MATEO 16:18 Neni ndinoti kwauri, Ndiwe Petro, pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuwo eHadesi haangaikundi.

Petro akaziva kuti Jesu aive ani. Saka Jesu akazivawo kuti Petro aive ani.

Ruware mucherechedzo wezaruriro yaive naPetro pamusoro pehuMwari.

Mwari ndiMweya uye kuzara kwehuMwari kwakagara muna Jesu Kristu pamuviri.

Saka munhu Jesu aive Mwanakomana waMwari.

Munhu anoonekwa uyo Mwari akararama maari.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Uri zvose zviri mauri.

Saka Jesu ndiMwari nekuti kuzara kwevuMwari kwakagara maari pamuviri.

MATEO 16:19 Ndichakupa kiyi dzovushe bwokudenga, chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, chinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kuDenga.

Petro, pazuva rePentekositi, akakwanisa kuzarura musuwo wekuDenga.

MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa chomweya mutsvene.

Tinopinda Denga chete kana zvivi zvedu zvaregererwa.

Mukova wedenga waakavhara waive rubapatidzo rwaJohane Mubapatidzi.

Rwaive rwusisashande sezvo Johane aive abapatidza Jesu asati afa, kuvigwa nekumuka. Rubapatidzo mucherechedzo wekufa, kuvigwa, nekumuka kwaJesu.

Pauro, achitaura kuvadzidzi gumi nevaviri vaJohane Mubapatidzi paEfeso, akavaudza kuti vabapatidzwe patsva sezvo rubapatidzo rwavakaitwa rwaive rusisashandi.

Petro aive asunga rubapatidzo rwaJohane paakazivisa rubapatidzo muZita raJesu.

MABASA 19:3 Akati; Ko makabapatidzwa norubapatidzo rupiko? Vakati: norubapatidzo rwaJohane.

4 Zvino Pauro akati: Johane akabapatidza norubapatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake.

5 Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabapatidzwa muzita raShe Jesu.

Saka Jesu anoda kuziva kuti imi, pachenyu munotenda mune zvipi.

Kwete zvinotendwa neboka renyu kana zvinotendwa nevamwe vanhu.

Hamufaniri kutenda kune chimwe chinhu nekuti hama Branham vakataura kudaro.

1964-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO 1

Asi avo vanogona kugamuchira Shoko mukuzara kwaro. Kwete nekuti ndiri kuriparidza, asi nekuti Bhaibheri ndiro riri kudaro. Vaya vanogamuchi kuti izvozvo vakasunungurwa, nekuti vano --- Shoko rakatongwa kare.

Munofanira kutenda Zvinotaurwa neBhaibheri chete.

Saka torai zaruriro dzehama Branham modziisa nekudzipima neBhaibheri.

Hazvina kukwana kutaura kuti hama Branham vakazivisa chokwadi cheMagwaro.

Vakaita izvozvo, uye vaikwanisa kutsigira zaruriro dzavo neMagwaro.

Asi kuti chokwadi chekudzorera chizadziswe, imi neni tinofanira kugonawo kuzarura Bhaibheri totsigira zvakavanzika izvi zvese nekupima zaruriro dzehama Branham nemavhesi akasiyana-siyana eBhaibheri tiri tega.

Jesu Shoko, akarambwa nekereke yenguva yekupedzisira vachisarudza kutevera zvakataurwa nevanhu.

Jesu anogogodza pamusuwo wekereke, kwete kuti ataure nekereke yese, asi kuti ataure nemunhu mumwe nemumwe.

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura mukova, ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neni.

Pakupedzisira, Mwari achashanda nemunhu mumwe nemumwe, kwete neboka kana ungano.

RUKA 17:34 Ndinoti kwamuri: Vusiku ubwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa mumwe uchasiiwa.

35 Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe uchatorwa mumwe uchasiiwa.

36 Vaviri vachava kumunda, mumwe uchatorwa mumwe uchasiiwa.

Mwari achatora munhu mumwe nemumwe anotenda kuShoko razvokwadi.

Rangarirai Enoch.

Ndiye ega akatorwa kukwira kuDenga Mvura yaNoa isati yauya. Vana vake nemukadzi vakasara.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23