Zvigadziko zvemwenje zvine chirevo chakadzama



Dzidziso yenguva nomwe dzemakereke ndiyo imwe yenzira dzakakosha muBhaibheri. Asi makereke anofuratira kukosha kwayo.

First published on the 3rd of August 2022 — Last updated on the 3rd of August 2022

Kune Mweya miviri iri mukereke

 

Bhuku raZvakazarurwa rakazara zviratidzo zvinotsanangura nhorondo yemakore 2000 enguva nomwe dzemakereke.

Zvitsauko zvitatu zvekutanga zvaZvakazarurwa zvinotaurawo pamusoro pechigadziko chemwenje minomwe.

Izvi zvinotidzidzisei?

Zvaive zvakaita sekuti kereke yeTestamente Itsva yaive “mbeu yakanaka” yechokwadi cheBhaibheri chakadyarwa nemapositora ekutanga. MaKristu akabva avarairwa akavata muzvikamu zvemweya, zvakaipa zvakapindira nekuti havana kusimba pakutevera Magwaro.

Mbeu yechokwadi yakadyarwa muNguva yeRima yeNhorondo yeEurope ikazotunga kukura kuva mhenyu murumutsiridzo rwaMartin Luther. Vamutsiridzi vakaita hura hwekutanga nenhungirwa dzokutanga. Kereke yakanetseka kudzokera pedyo nekutenda kwekutanga kwaive nevapostora veTestamente Itsva.

Pakupedzisira, dzinde rinobereka mbeu yakafanana nembeu yakatanga kudyarwa.

Asi kuita uku kwakanga kuchipikiswa neumwe mweya waive mukereke wakatarira hutungamiri hwevanhu, dzidziso dzisimo muMagwaro, kupindira zvematongerwo enyika, mari zhinji, nekurudziro yemaPegani.

Hondo yeMweya inoitika mumakereke ichaenderera mberi kusvika pamagumo.

MATEO 13:24 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti; Vushe bwokudenga bwunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.

25 Asi vanhu vavete muvengi wake akavuya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda.

26 Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino mashawi akavonekwavo.

27 Varanda vomwene weimba vakavuya vakati kwaari, Ishe hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi?

28 Akati kwavari, muvengi waita izvozvo. Varanda vakati kwaari, ko munoda kuti tindoavunganidza here?

29 Akati kwete zvimwe kana muchivunganidza mashawi, mungadzura nezviyovo.

30 Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka! Nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, tangai kuvunganidza mashawi, muasunge mwanda kuti apiswe asi muvunganidze zviyo mudura rangu.

Paunotanga kuona zvinoita sekuti kereke yaipfuta zvakafanana munguva nomwe dzese dzekereke.

Asi paive negorosi nehundi nguva imwechete.

 

 

Saka chiedza chekereke musanganiswa wechokwadi nezvakaipa. Kwaive nemizambiringa miviri mukereke.

Saka kana tikatarisa zvakanaka kuti chokwadi cheBhaibheri chaive chii munguva imwe neimwe, totsaura izvozvo kubva kutsika dzevanhu nekunyengera, chiedza chechokwadi munguva imwe neimwe chinoratidzika seizvi.

 

 

 

Mwenje wepakati chete ndiwo une chokwadi

 

 

Ngatitarisei mucherechedzo wechigadziko chemwenje minomwe chakataurwa muzvitsauko zvitatu zvekutanga zvaZvakazarurwa. Kereke yekutanga ndiyo mwenje wepakati une murazvo unonyatsooneka.

ZVAKAZARURWA 1:13 Napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu,

Jesu ega ndiye ane chokwadi.

 

 

Chokwadi ichi chinowanikwa chete munguva yekereke yekutanga.

Hatigoni kugadzirisa dzidziso dzaPauro nemapostora. Testamente Itsva ndiyo inodiwa naMwari kuti titevedzere.

Patinoenda kure kubva pachigadziko chemwenje tinenge tichienda kure kubva kuchokwadi chemapositora tichipinda munguva yerima.

Nguva yekereke yechitatu yakaona chokwadi chichifa paKanzuru yeNicaea pakapinda Tiriniti mukereke.

Nguva yekereke yechina yakaona vanotenda kuRoman Catholic vachiuraya vaivapikisa vanosvika makumi emamiriyoni.

 

 

Kubva pazvinhu zvakatendwa nevanhu venguva yekereke yekutanga zvinogona kutsanangurwa seZVAKAIPA.

Izvi zvinotsanangurwa nemakereke mana ekuna Zvakazarurwa Chitsauko 2.

Kana tikashandura divi rekuenda naro tikaenda nekukereke yeKutanga, zvinoshanduka kuita ZVIPENYU (LIVE) kana ZVAKAIPA (IVIL) zvashandurwa.

Zvakazarurwa Chitsauko 3 inoshanda kudzorera chokwadi chakaraswa muNguva yeRima kuti vanhu vanotenda zvakatendwa mukereke yekutanga.

 

 

Martin Luther muGermany akadzorera Ruponeso kupfurikidza kutenda munguva yekereke yechishanu.

John Wesly muEngrandi akadzorera Hutsvene nekuparidzira, zvakasvitsa panguva yemaMishinari munguva yekereke yechitanhatu.

Munguva yekereke yechinomwe, Pentekositi yakadzorera zvipo zveMweya Mutsvene, William Branham kuAmerica akazivisa zvakavanzika zveMagwaro kuti adzorere kunzwisisa kwedu chokwadi cheBhaibheri kuti titende zvaitendwa nekereke yekutanga. Nguva yekereke yekupedzisira apo Mwenga anenge aine chiedza chakakwana kubva mumafuta avo ari mumwenje yavo kuti vaverenge nekunzwisisa Magwaro.

 

Kereke nemaJuda 144,000 vanoonekwa muTabernakeri

 

 

Chingadziko chemwenje minomwe kuna Zvakazarurwa chinoratidzira mwenje minomwe munzvimbo tsvene muTabernakeri yemaJuda. Zvaive pamwechete nezvingwa zvekuratidzira zvaive zvingwa gumi nezviviri.

Midziyo yemuTabernakeri yaiita michinjikwa magadzikirwo ayaive yakaita.

 

 

Saka, yairatidzira zviitiko zvichaitika muTestamente Itsva apo nguva nomwe dzemakereke dzinoziviswa mumakore 2000.

Tarisai zviverengo zviviri zvakakosha, 7 na12.

Jesu ndiye Musoro wekereke akaponesa vanhu kuti vaite Muviri wake wemweya.

VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.

Musoro wakabatanidzwa nemuviri nerinonzi bhekibhoni.

Mabhonzo manomwe ekutanga evhetebhurei anogadzira mutsipa. Kusunganidza nguva nomwe dzemakereke.

Mamwe mabhonzo 12 evhetebhurei anobatanidza mbabvu. Rudzi rwemaJuda 144,000 anobva mumarudzi gumi nemaviri eIsraeri.

 

 

Jesu anotaura pamusoro pezviverengo zviviri izvi kubva muminana yake mikuru miviri.

Kupa zviuru zvemaJuda chekudya kubva pambuva yemwana wechikoro yaive nechingwa nehove.

MATEO 16:9 Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?

Jesu anoda kuti tinzwisise chimwe chinhu. Nyaya yakakosha haisi zviuru zvevanhu vakapihwa chekudya asi kuti matengu mangani emafufu aive araswa akanongwa nevadzidzi vake.

MATEO 16:10 Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?

Zviverengo zvematengu emafufu echingwa chakaraswa nenyama zvaive matengu 12 ne7.

Chii chatinofanira kunzwisisa pamusoro pemafufu akanongwa?

Chingwa nenyama zvinomiririra dzidziso.

MaJuda aizoramba Messiasi nedzidziso yaanoparidza vachiti mafufu asina anodya.

Vadzidzi vanononga Evhangeri rakaraswa iri voita chokwadi chekuti vanotora dzidziso dzeTestamente Itsva kubva muvaHedeni vaizouya munguva nomwe dzemakereke aizouya. Dzidziso dzemapositora chete dzeTestamente Itsva ndidzo dzakakosha kuva dzidziso dzekugutsa mweya yemaKristu aizouya.

Testamente Itsva ndiyo Chiedza chenyika, inomiririrwa nechigadziko chemwenje minomwe. Testamente Itsva, inobva panheyo dzeTestamente Yekare, inozova chiedza chinotungamirira kereke mukati mezviitiko zvakasiyana siyana zvenguva nomwe dzekereke. Kana kereke kubva munguva nomwe ikamutswa kubva kuvakafa vakabva panyika pano pavanotorwa kukwira kudenga mukubwaira kweziso vachinosangana naShe mumakore, Evangeri rinoenda kumaJuda marudzi gumi nemaviri evaIsraeri, mukati memakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru. MaJuda anogamuchira, kubva kumaprofita avo maviri, mafufu edzidziso yeTestamente Itsva akarambwa nevakuru vavo makore 2000 akadarika.

 

Nguva nomwe dzemakereke dzinopatsanura vhiki raDanieri rechimakumi manomwe nepakati

 

 

Jesu akaita hushumiri hwemakore matatu nehafu ehushumiri kumaJuda. MaJuda vakabva vamuramba.

Mwari akatendeuka kubva kumaJuda kutarira vaHedeni mukati menguva nomwe dzemakereke. Pazuva rePentekositi Mweya Mutsvene wakaburuka kuzotungamirira kereke mukati menguva nomwe dzemakereke yozobva panyika kana Mweya Mutsvene watora kereke kunosangana naShe kumakore. Mwari anobva atendeukira kudzokera kumaJuda munguva nhatu dzekupedzisira dzemakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru.

Marofu gumi nemaviri ezvingwa zvekuratidzira anomiririra marudzi gumi nemaviri emaJuda.

I MAKORONIKE 9:32 Navamwe vehama dzavo, vavana vaKora, vaifanira kutarira zvingwa zvokuratidza, kuzvigadzira Sabata rimwe nerimwe.

Zvingwa zvekuratidzira zvakagara mazuva manomwe zvimwe zvingwa gumi nezviviri zvekuratidzira zvisati zvabikwa kuti zvitsive zvingwa zvakare Sabata raitevere.

Maprista akadya zvingwa zvakare paNzvimbo Tsvene. Zvingwa zvekuratidzira zvaifanira kugara mukereke.

Zvingwa gumi nezviviri izvi mucherechedzo wemaJuda 144,000 akabva mumarudzi gumi nemaviri emaJuda, pakupedzisira penguva nomwe dzemakereke, (kunomiririrwa nekupera kwevhiki remazuva manomwe) vanofanira kudzoka muNyika yavo yeChipikirwa (zvinoratidzirwa neNzvimbo Tsvene) kunosangana naMessiasi.

Takaona maJuda achidzoka kuIsraeri musenturi rakadarika. Nhandare iri kugadzirirwa kudzoka kwaMessiasi kuJerusarema. Marudzi gumi nemaviri evaIsraeri ari kudzoka kunyika yechipikirwa pakupera kwenguva nomwe dzemakereke.

12 na 7 zviverengo zvinozivisa zvirevo zvakadzama, nzira yakarurama muZano raMwari.

Zvichibva munevenhorondo, kwaive kusina kereke muguta reTyatira nenguva yakafa Johane Muzaruriri gore rinege 100 AD. Kereke iyoyo yakazovapo kumberi izvi zvose zvadarika. Saka tsamba dzaJohane dzaive dzisiri kutsanangura zviitiko zvemukereke chete asi dzaitsanangurawo zviitiko zvenguva inouya. Kwaive kusina “Baramu” kana “Jezeberi” munguva dzekereke yekutanga idzi.

Mazita aya anotsanangura kuzviitiko zvaive zvadarika munhorondo yemaJuda apo vatungamiri venhema vakasimudzwa kupokana nevanhu vaMwari venguva idzodzo, vaive Mosesi naErija, nemurongo wavo. Zvakadaro, kunewo mazita ezvapupu vachadzoka kuIsraeri munguva yeKutmbudzika kukuru (Zvakazarurwa Chitsauko 11) kuti vanotendeutsira maJuda 144,000 kuna Messiasi.

 

Kereke muTyatira yakazotanga Johane afa

 

 

Uyu mucherechedzo wekuti mapositora anofanira kufa kereke inodududza kudzoka shure isati yatanga. Kereke yeTyatira yaizobva padzidziso dzemapostora dzekutanga.

Saka Johane aive asinganyori pamusoro pechimiro chekereke muTyatira, nekuti kwaive kusina kereke mazuva iwayo.

Kereke yePergamosi yaive isina munhu anonzi Baramu mairi.

Saka Johane aive asinganyori pamusoro penguva nomwe dzemakereke enguva yake. Kereke imwe neimwe yaive nehunhu hwenguva yaizouya.

Saka nguva nomwe dzemakereke dzinopa chiprofita chakasarudzika chezviitiko zvinoshanduka munguva nomwe dzemakereke dzinobata makore 2000 enhorondo yekereke.

Kereke yeTyatira haina kutanga mumazuva evaprofita asi vachangodarika. Izvi mucherechedzo wekuti nguva yekereke yeTyatira, Nguva dzeRima, yakaenda kuresa pakudzokera shure kwekereke kubva pakudzidzisa nekurudziro yemaprofita.

ZVAKAZARURWA 1:19 Naizvozvo nyora zvawavona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;

“Zvichazovapo”. Zvakaprofitwa zvemakereke enguva inouya.

Johane anotiudza zvinhu pamusoro penguva yekereke yekutanga yaakararama mairi. Johane akakwanisa kuona zviratidzo zvenguva inouya pamusoro pekereke, maJuda achidzorerwa munguva yeKutambudzika kukuru pakupera kwenguva nomwe dzemakereke.

Saka “zvakavanzika zvenguva nomwe dzemakereke” zvinoreva kuti imwe neimwe yenguva tanhatu dzekereke dzaivepo nenguva yaizoitwa yeTyatira dzaive nehunhu madziri hwenguva yaizouya yaizosangana nenaKristu.

Mwari aida kufambisa kereke yake munguva nomwe nezviitiko zvinomwe zvakasiyana.

Pakupedzisira, Mwari aizokwanisa kutora chero chimiro chaivepo zvisinei kuti Satani arwisa sei kereke nenzira dzakasiyana, kwaizova nemaKristu vaizokurira. Kupupura kwavo kwaizoratidza nhema dzevanhu vanoti zvaivawira zvairema kwazvo kuti vararame vari maKristu, chinova chikonzero chavakarasira kutenda kwavo. Jesu anokwanisa kubatsira vanhu vose mukati memadzudzo anovawira akanangana navo kana vasina kuzvipira kutenda muzvinhu zvenhema zvisimo muMagwaro, zvisinei nekuipa nekumanikidza kwazvo kuti vaite sekudaro.

Murairo waMwari uri nyore, sezvazvaive muBabironi rekutanga:

Kana ukaramba kuvanamata, Mwari haakusiyi uchitsva.

 

Kereke yekutanga yeEfeso yakakura ikavarairwa

 

 

Nguva yekereke yekutanga yakatanga mugore 33 AD pazuva rePentekositi.

Makore akapoteredza AD 100, mupostora wekupedzisira, Johane, akafa, vanhu vaive neshungu kwazvo dzekutonga nembiri vakasimuka mukereke.

Efeso zvinoreva kuti chinangwa uye kudekara.

Kukanganisa kuduku kusimo muMagwaro kwakatanga kupindira. Munhu mumwechete anotungamirira akasimuka mukereke.

Vanhu, nekuvarairwa, havana kuita hanya nezvinhu zviduku zvaikanganiswa, asi kuita kwekukanganisa kwaizokura kuita dutu munguva dzaitevera.

Nguva yekereke yekutanga iyi yakaguma munguva yekutonga kweMubati weRoma Marcusi Aurelius (161-180 AD), pakarovererwa maKristu.

Nguva yekereke yechipiri yaizoona zvakawanda panhau yekurovererwa kwemaKristu.

MaKristu anoda kusvika mamiriyoni matatu vakaurawa nemubati weRoma kubva pakutanga kwekuuraya kwaNero muna 64 AD kwakazogumiswa muna 312 nekurwadziswa kwekereke kwakatanga nemubati Diocletian. Ndufu idzi zhinji dzacho dzakaitika munguva yekereke yechipiri, kubva gore rinenge AD 170 kusvika gore 312 AD.

Nguva yekereke yekutanga yakavakwa panheyo dzedzidziso dzemapostora. Shoko raMwari raive Mukuru wavo.

Boka revakuru raitonga kereke imwe neimwe yepanzvimbo.

Zita rimwechete raive nevatendi raive rekuti “MaKristu”

Kwaive kusina masangano nguva yemapostora pavairarama.

MABASA 20:17 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.

MABASA 20:28 Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.

Pauro haana kuisa pasita kana mufundisi pamusoro pekereke paEfeso.

MABASA 20:29 Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.

Vatungamiri vane shungu dzekutonga, vasina hanya pakubvuta masimba nemari, vaizotonga kereke mumazuva aizouya.

MABASA 20:30 Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.

MaKristu eTestamente Itsva vaizopatsanurwa kuita mapato emakereke echichechi chechi vari pasi pemunhu mumwechete kana mutungamiri anoda kuti vanhu vatevere zvaanotaura. Uku ndiko kukundikana kukuru kunosangana nekereke.

Mukadzi anozotenderwa kudzidzisa mukereke.

I TIMOTIO 2:12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.

Izvi ndizvo zvimwe zvakakanganiswa zvakatanga kupinda mukereke mumashure mekufa kwemapostora.

Mapostora paaive mapenyu, nguva yekereke yekutanga yakava nzira yezvaizova kereke yeTestamente Itsva kwenguva dzose.

Mapostora havana kubvira vapinda munezvematongerwo enyika.

Nero aive mubati muurayi mumazuva aPauro. Pauro aidai akaita nguva inodakadza achitsanangura zvaikanganiswa naNero, asi Pauro akangoti tinofanira kunamatira vatungamiri.

Pauro anosimudza kwazvo chinzvimbo chaKristu achitsanangura kuti ndiye kuzara kwovuMwari.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Nero aizofa, saka Pauro akamufuratira, asi Jesu aizorarama, saka Pauro akamukudza.

 

 

Mwenje uyu mucherechedzo wenguva yekereke yekutanga yeTestamente Itsva. Muenzaniso wedu wakanakisa wekereke yemaKristu.

Kereke yeTestamente Itsva pakutanga kwekereke yekutanga ndiyo kereke yatinofanira kudzorerwa kwairi.

 

Nguva yekereke yechipiri inoisa Bishopu pamusoro peguta

 

 

Nekufamba kwenguva, hutungamiri hwevanhu hwakazivisa kuipa apo kusuduruka paMagwaro munzvinhu zvakasiyana siyana kwakatanga.

Vanhu vakatanga kuzvidaidza nezvinzvimbo zvitsva zvisimo muMagwaro “Bhishopu weAntiokia”.

VAFIRIPI 1:1 Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke.

Kwaive nemabhishopu akawanda muguta reFiripo.

Kereke yekutanga yaive isina bhishopu weguta mumwechete.

Bhishopu raingove rimwe zita rekudaidza mukuru.

57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHECHITANHATU.1

Ndiratidzei neBhaibheri kuti chii chikuru, muBhaibheri, kudarika mukuru wekereke panzvimbo?

Ndizvo chaizvo, hongu, baba, rusununguko rwekereke panzvimbo, kereke imwe neimwe yakazvimiririra.

Vakuru vekereke panzvimbo vanotonga kereke yepanzvimbo.

KURATIDZWA KWENGUVA NOMWE DZEKEREKE. PERGAMOSI, VANIKORAITI

Zvino, dzidziso iyi yakatanga sechiito munguva yekutanga. Dambudziko riri mumazwi maviri: “Vakuru” (Puresibheterio) nevatariri” (mabhishopu). Kunyange dai Magwaro achiratidza kuti kune vakuru vakati kuti mukereke imwe neimwe, vamwe vakatanga (Ignetiusi [wekuAntiokia] pakati pavo) kudzidzisa kuti bhishopu aifanira kuva mukuru kana kuva nesimba nekutonga vakuru mukereke.

Zvino chokwadi chenhau iyi ndechekuti izwi rekuti ‘mukuru’ mucherechedzo wekuti munhu wacho ndiyani, izwi rekuti Bhishopu richitaura basa remunhu iyeye. Mukuru munhu. Bhishopu ndiro basa rake. ‘Mukuru’ nguva dzese uye zvichagara zvichireva munhu nezera rake munaShe. Mukuru, kwete nekuti akasarudzwa kana kugadzwa, nezvimwe zvakadaro., asi nekuti AKWEGURA. Ati kurei, adzidza, kwete pwere, anovimbika nekuti aona zvakawanda nehumbowo hwekuva kwake muchiKristu.

Asi kwete, bhishopu haabatiri pavhangeri raPauro asi pachinzvimbo, vanoenda kudzidziso dzaPauro panguva yaakadaidza vakuru kubva kuEfeso vachiuya kuMireto kuna Mabasa 20: vhesi 17, gwaro rinoti, “vakuru” vakadanwa, pavhesi 28, vanodaidzwa kuti vatariri (bhishopu). Mabhishopu aya (hazvirambiki vane ndangariro dzezvematongerwo enyika nesimba) pachinzvimbo chekuti Pauro akapa tsananguro yekuti ‘vatariri’ vaive vari pamusoro pevakuru vepanzvimbo vaive nesimba mukereke mavo chete. Kwavari, bhishopu aive mumwe wevane simba rakatambanudzwa pamusoro pevakuru vepanzvimbo. Chiitiko chakadaro chaive chisiri muMagwaro kana munhorondo, asi chero munhu wechinhano chakaita sechaPorikepu akabatirira pabato rakaita sairoro.

Vakuru ndivo vakabata kereke yekutanga nekuitungamirira, raive boka duku repanzvimbo.

Izwi rwekuti “pasita” (mufudzi) rakataurwa kamwechete muTestamente Itsva asi rakatukwa muchiprofita katanhatu muBhuku raJeremia. Hakuna Magwaro anopa pasita kana mufundisi simba rekuita musoro wekereke.

(Kunyanya kuine masangano akasiyana anodarika 45,000 emakereke nhasi, anotungamirrirwa nemakumi ezviuru zvemapasita vanotenda zvinhu zvakasiyana siyana. Kurasika kukuru pamweya).

Kereke yakatanga kubva pakutevera Magwaro eTestamente Itsva zvakazara nekufamba kwenguva.

Hunyengeri muzvitendero hwakatanga kupindira. Jesu aive ayambira kare, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai” kuna Mateo 24:4, asi vanhu vakasarudza ruzivo rwevanhu pachinzvimbo cheMagwaro.

MATEO 24:4 Jesu akapindura akati kwavari, chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.

Symina zvinoreva kuti kuvava nerufu. Kurwadziswa nenhamo zvakamisa kereke kuti isarambe ichirasika. Mwari akayemura nguva yekereke iyi.

Chokwadi chisingavandiki ndechekuti kurwadziswa nekutambudzika zvakanakira kereke.

Kereke inoratidzika sekuti yaive ichiri kupenya asi chimwe chechiedza ichi chaingove huchenjeri hwevanhu hwaiunzwa nevanhu vaitungamirira vachironga nekufunga mazano avo .

Jesu naJohane Mubapatidzi vaive vasina kunyengera kana tsvete pavaitaura nevatungamiri vezvitendero vechiJuda sezvo vatungamiri ivavo vairasisa maJuda. Vanhu vaitungamirira mukereke yechipiri umu vaive vatanga kurasisa kereke uye, zvinosuwisa, chokwadi chaive chatanga kuita chishoma.

 

 

Saka nguva yekereke yechipiri yakaita seizvi, muzvikamu zvechokwadi, sezvo murazvo weBhaibheri waive vatanga kuita muduku.

 

Nguva yekereke yechitatu yakazivisa kuipa kunotyisa kweTiriniti

 

 

Kanzuru yeNicaea muna AD 325 yakaisa kereke pasi pehutongi hwevanhu vasina tsitsi vezvematongerwo enyika, mubati Constantine.

 

 

Aive amira kuuraya maKristu muna AD 321, maKristu aive nokutenda kukuru akagamuchira muurayi uyu aiita zvematongerwo enyika semukuru wekereke. Kukanganisa kukuru.

Mubati akapa bhishopu weRoma hupfumi hwakawandisa nemuzinda weLaterani kuti ave nechokwadi chekuti anoteerera mubati. Nekuti bhishopu weRoma aitsigirwa nemubati weRoma Constantine, bhishopu uyu akabva ada kutonga nekuva nesimba mune mamwe maguta. Roma yaive guta guru rehushe, saka Bhishopu weRoma akanzwa kuti aive akakosha zvakanyanya kudarika mabhishopu emamwe maguta.

Mazwi asimo muMagwaro akaita seTiriniti, Kisimusi, Chishanu Chakanaka (Good Friday), naPope akatanga kukosheswa nekereke. Kereke yakapinda munezvematongerwo enyika, mapegani akatanga kuuraiwa. Pakupedzisira, maKristu aisatenderana nekereke yeRoman Catholic vakatangawo kuuraiwa.

Tsika dzechipegani dzakapfekedzwa mazita emuBhaibheri.

Kisimusi pazuva rakarongwa nevanhu 25 Zvita zvakatevedzera zuva rakaberekwa mwari weRoma wezuva rakasarudzwa naJurio makore akapoteredza AD 350 kuti rive mutambo mukuru wekekereke, aive bhishopu weRoma.

Bhaibheri harina kubvira ratiti tirangarire Kuzvarwa kwaJesu.

Kuparidza Kisimusi isimo muMagwaro sedzidziso yemukereke uye semutambo wechiKristu pasi rese zvakabatsira kusimbisa hutongi hweRoma pamusoro pemamwe makereke.

Bhishopu weRoma akagadzira Kisimusi. Saka makereke ese akagamuchira Kisimusi akawira muriva reRoma. Roma ndiyo yakaita murairo weKisimusi.

Zvichibva kuRoma, unofanira kuva mutambo mukuru pazuva rechipegani repakati penguva yechando. Saka vafudzi havagoni kuva panze vachifudza makwai husiku sezvo nguva yechando kunotonhora zvakanyanya kumafuro. Uku kwaive kupokana neMagwaro kukuru. Vanoti vazivi vakaenda kuchidyiro, kwaive zvakare kupokana neMagwaro. Izvi zvakavapa chikonzero chekupanana zvipo nekuisa nyeredzi pamuti wekisimusi. Nyeredzi inofanira kuva mudenga, saka vakashongedza “muti weKisimusi” wechipegani wavakatevedzera.

Vachenjeri vekumabvazuva vakapinda mumba vakaona Mwana, kwete rusvava.

MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake,

MaJuda vakarasika pavakazivisa nyeredzi yamwari wavo.

AMOSI 5:26 Zvirokwazvo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni zvifananidzo zvenyu, iyo nyeredzi yamwari wenyu, wamakazviitira.

Mapegani vainamata mwari wenyeredzi. Kunze kweVenasi, nyeredzi yemadekwana nemangwanani, Sachuni ndiyo nyeredzi inopenya yakatevera pakunamatwa. Havana kuziva kuti yaitovewo nzvimbo pamazuva iwayo.

Ndicho chikonzero nei vaiti vachenjeri vakatevera nyeredzi kunosvika nayo kuchidyiro. Nyeredzi haina chekuita nechidyiro pakuzvarwa kwaJesu. Vachenjeri vakazosvika kwaaive makore maviri akazotevera. Nyeredzi yakatungamirira vachenjeri kwemakore maviri yaive Mweya Mutsvene. Nhasi, Mweya Mutsvene uchiri kutungamirira vanhu vakachenjera kuti vasvike pana Kristu.

Asi nyeredzi yemapegani yaive chikamu chemutambo wepakati penguva yechando muna Zvita.

JEREMIA 10:2 Zvanzi naJEHOVA, "Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nokuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo.

3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.

4 Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.

Muti wakatemwa ukashongedzwa nenyeredzi pamusoro pawo zvaive zviratidzo zvemutambo wavo wenguva yechando. Izwi rekuti “Yule” muchitauro chevaKaradhia (kana chekuBabironi) zvinoreva kuti “mwana”. Kubva kwavari, tinowana Yuletide. Saka pakati penguva yechando yaifanira kuva nguva yekuzvarwa kwaJesu kuti mapegani afare.

Kusarudza zuva ra25 zvita zvichibva kukarenda idzva reRoma, raive rashandurwa muna 45 BC nemudzvanyiriri weRoma Jurio Kesari, zvinopa karenda reRoma simba pamusoro pemamwe marudzi. Kuchengetedza murairo weRoma wayakaisa weKisimusi, vanhu vaifanira kushandisa Karenda idzva reRoma. Izvi zvakapa Roma simba rakawedzerwa pamusoro pevanhu.

DANIERI 7:25 Uchataura mashoko okumhura wokumusoro-soro, uchaparadza vatsvene, vuye uchasvaka mano okushandura nguva:

Pakupedzisira, Pope Girigori 13 vaizozadzisa shanduko dzavaiisa pakarenda. Zvino pasi rese raishandisa shanduko dzaiita kuti nguva dzekarenda reRoma dzifambirane nemwaka yegore zvakanaka. Kesari weRoma yemapegani naPope weRoma Girigori 13 vakabatana kugadzira karenda. Izvi zvakakudza simba raPope pamusoro pemitambo yemukereke.

VAGARATIA 4:9 asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?

10 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.

11 Ndinotya pamsoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.

Mitambo yekereke yepagore inofanira kusateverwa. Hakuna zuva rakasarudzika kudarika rimwe remitambo yepagore.

Pauro akatsutsumwa pamusoro pekuitwa nhapwa kwavo nemusi (25) mwedzi (Zvita) nguva (nguva yeKisimusi) gore (gore rega rega).

Kushandisa mitambo ine mbiri uye yakagadzirwa nehungwaru inobva patsika dzechipegani, vanotenda vakabviswa kubva paBhaibheri kuti vatevere mirairo yekereke yeRoman Catholic. Kukanganisa kwakaipisisa.

Roma yakashandura karenda ratinoshandisa kupima nguva.

Roma yakazivisa murairo wemutambo weKisimusi neIshita egi neIshita bhani kumutambo wepfumvudza kana mutambo wezvebonde muna Kurume naKubvumbi. Mwedzi mipfumbamwe kubva mumwedzi wa Kubvumbi, vana vanozvarwa pakati pemwedzi wazvita, nguva yeYure, (Yule) kana kuti nguva yemwana.

Nimrodi akauraiwa mukadzi wake Semiramisi, akati iye ndiye aive Ishita mambokadzi wedenga, akavapo pamutambo wepakati paKubvumbi wezvepabonde saka mwanakomana wakeTammuzi akazvarwa pakati paZvita. Iye akabva ati mwana uyu ndiye aive murume wake Nimrodi aive amuka kubva kuvakafa. Muti, ukatemwa, unowanzobukira zvakare. Muti ‘weKisimusi” unenge watemwa, ndiwo mucherechedzo waNimrodi akauraiwa, kushongedzwa kwemuti mucherechedzo waTammuzi akazvarwa mucherechedzo “wekumuka” kwaNimrodi.

Bhanzi rakatenderera mucherechedzo waSemiramisi kana Ishita ari mwedzi kana mambokadzi wedenga.

Mucherechedzo “t” uri pamabhanzi waive vara guru “T” remwanakomana wake Tammuzi, akazozvarwa mwedzi mupfumbamwe yakatevera. Raive tsime rakabva kurudziro yekukoshesa kwatinoita mabhanzi edu anopisa anemuchinjiko.

Nguva yekereke yechitatu iyi yakaona mweya wechipegani uchipinda mukereke, uchishandisa mazwi emuBhaibheri kusimudzira tsika dzechipegani. Ishita akava Isita.

Hugh Hefner akan’oresa vanhu vazhinji muAmerica nemamagazini ePlayboy neavaiti zvisikana zvakashongedzwa (mabunny girls). Nei aipfekedza vakadzi mbatya dzekuti vabude vakaita kunge tsuro (mabhani)? Izvi zvinotiudza kutii pamusoro penheyo dzakabva mabhani eIsita? Mabhani kana tsuro anozvara nekukasika. Tsuro idzi dzaive mucherechedzo wezvinhu zvepabonde.

Zvakare Roma yakatizvuzvurudzira mudenderedzwa remazuva asiwo.

Pope akati jesu akafa musi weChishanu masikati vanhu vese vakatenda zvakataruwa neRoma pasina kana kufungidzira.

MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.

Kuvigwa mazuva matatu zvinoreva kuti Jesu akafa musi weChina masikati. Aive muguva musi weChina manheru, Chishanu manheru, neMugovera manheru. Akabva amuka musi weSvondo mangwanani.

Gwayana rePaseka rakasarudzwa pajekereke musi wechigumi rikaiswa kuimba yemunhu rikauraiwa musi wechi14.

EKSODO 12:3 Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, `Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.

EKSODO 12:6 zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.

Jesu akasarudzwa paruzhinji nemaJuda ari Mambo pazuva reMichindwi, raive zuva rechigumi remwedzi.

Zuva rechigumi nemana raizova China raaiurawa.

“Chishanu Chakanaka” (Good Friday) izuva rakaitwa neRoma risimo muMagwaro.

Zuva rechigumi nemashanu raive zuva rekutanga remutambo wezvingwa zvisina mbiriso. Iri raive Zuva Guru kana Sabata rakasarudzika.

“Masangano” kutaura izwi risimo muMagwaro rakatora makereke pasi rese.

Constantine akazadza simba rezvematongerwo enyika, mari nezvivakwa achipa kereke.

Saka kereke yakamuterera, ikasaterera Bhaibheri.

Pergamosi zvinoreva kuti wanano yakazara. Kereke yaive yaroorana nechipegani, zvenyika nepfuma nezvematongerwo enyika.

Kereke yakateewa zvakajeka kwazvo nemazano evanhu akafanana neTiriniti avanopokana nezvawo kwemasenturi kusvikira vatendesa vanhu vazhinjisa.

Mwari akarasikirwa nezita Rake, vakadzikisirwa kusvika pakubapatidza nezvinzvimbo zvitatu pachinzvimbo chezita rimwechete.

Vanotaura pamusoro pezita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene asi havagoni kutiiudza kuti nderekuti kudii zita racho.

Hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.

Tichiwedzera, tiriniti izwi risimo muMagwaro.

 

 

Saka kereke yechitatu yaiita semwenje iyi panhau dzechokwadi.

Triniti yakaita iyo yekutanga kuitwa dzidziso iri pamutemo isimo muMagwaro. Nhasi vanoishandisa kuiita chikonzero chekugamuchira mamwe mazwi asimo muMagwaro. Chikonzero chavo chiri chekuti:

“Kana Tiriniti risimo muMagwaro asi riri chokwadi, zvinoreva kuti chero mamwe mazwi asimo muMagwaro akafanana neKisimusi (semuenzaniso) anofanirawo kuita echokwadi.

Saka chokwadi chisimo Mumagwaro chinopararira semoto wesango kana hutachwiwana.

 

Munguva yekereke yechina kereke huru yakatonga munezvematongerwo enyika

 

 

ZVAKAZARURWA 13:2 ... shato ikachipa simba rayo, nechigaro chayo chovushe, namasimba makuru.

Mubati weRoma Constantine akapa Muzinda weRaterani kuna Bishopu weRoma, uyu wakaramba uri ndiwo chigaro chikuru chekereke yeRoman Catholic, chinonzi nemaPope chigaro chaSt Petro.

Nerutsigiro rwemubati, Bhishopu weRoma aizotora simba pamusoro pemamwe makereke. Akazoita Pope nguva yakapoteredza paakagamuchira chinzvimbo chaPontifekisi Makisimasi (Pontiffi) seMuprista Mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Kuva Pontiffi kwakamupa simba guru pamusoro perudzi rwemapegani rwakapamba nekuparadza hushe hweRoma.

Zvigaro zvikuru mukereke zvine zvinzvimbo zvisimo muMagwaro zvaizosimuka zvokura zvobata hushe muNguva dzeRima, nguva iyo Bhaibheri raive riri murunyoro rweRatini rusingaverengwi nechero munhu.

Vanhu vaiwanzourairwa kuita Bhaibheri kana kupokana nekereke yeRoman Catholic.

Kuuraya vapikisi vaipikisana nemaPope kwaionekwa sechinhu chakafanira kuitwa.

Iyi yaive nguva yekereke yeTyatira, zvinoreva kuti Mukadzi anotonga. Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yeRoma yaitonga muEurope munguva dzeRima.

Nhorondo yekereke yeRoman Catholic inotsanangurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 17 nechitsauko 13.

Pope akaipa weBorgia Pope Alexander VI aimiririra gomba rekurwadziswa apo chokwadi chaive chakavanzwa pasi petsvina.

Simba rezvematongerwo enyika, mirawo yekereke, nemakaro evanhu zvakatonga kereke.

Kereke yeRoma iri pamutemo yakatonga Europe chokwadi chikafa kuziviswa kwetsika nedzidziso dzisimo muMagwaro kusati kwavapo. Vatendi vechokwadi vaifanira kutizira kumasango. MaWaldenzi vaive muguta reLyons asi vakanovanda mauto eCatholic mumakomo eAlps akaita nzvimbo dzemarenje dzekuvachengetedza. Nzizi dzeRhime neRhone dzinoratidza pamepu inotevera.

 

 

MaPope maKadhinari, maMetiroporiteni, maAchibhishopu maArchidhikoni zvese zvinzvimbo zvisimo muMagwaro, asi ndivo vanotonga kereke yeRoman Catholic.

Kereke yakanga yazadzwa nedzidziso dzevanhu dzinonyengera netsananguro dzavo nemano ekutsvaga nawo mari.

Asi muzvikamu zvechokwadi cheBhaibheri, uku ndiko kuratidzika kwenguva yekereke yechina.

 

 

Gwayana rechina raive ratungidza chokwadi cheBhaibheri kana zvichienzaniswa negwayana rekutanga.

Chitsauko chechipiri cheBhuku raZvakazarurwa rinotsanangura makereke mana.

Vanomiririra nguva ina dzekutanga dzekereke. Yechina iri pakati pemakereke manomwe. Saka nguva yekereke yechina inozivikanwa seNguva Dzepakati (Middle Ages) kana Nguva yeRima apo kereke yakatonga Europe.

Chokwadi chaive chawira pasi kubva munguva yemapostora kupinda munguva yakaipa yaive izere zviera era Nguva yeRima yechichechi-chechi yaive yatsiva chiKristu. Tsika dzevanhu uye dzidziso dzemakereke zvaive zvabva pachokwadi cheBhaibheri cheTestamente Itsva.

Nguva ina dzemakereke dzekutanga dzaive nechinhu chimwe chakafanana, kubva pakuita kwekereke yeTestamente Itsva.

 

 

Chitsauko chechitatu cheBhuku raZvakazarurwa chakataura nguva nhatu dzekereke pakatanga kuitika zvinopesana neizvi.

Vamutsiridzi vaiedza kudzorera kereke pedyo nezvakatendwa nemapostora enguva yekereke yekutanga.

 

Munguva yekereke yechishanu Luther akadzorera kuponeswa nekutenda

 

 

Rumutsiridzo rwaMartin Luther rwakaita mavambo matsva ruchibva nerumwe rutivi rwechigadziko chemwenje.

Kwaive kuchiri nekusaziva kuzhinji mukereke, asi rudo rutsva rwaive rwamutswa kuti kereke idzorerwe kudzidziso dzemapostora eTestamente Itsva.

Martin Luther kuGermany akazvidza chimiro chekereke chaive chizere humhondi. Vamutsiridzi venguva iyi vaive mashizha ekutanga aibuda apo mbeu yeShoko raMwari yakatanga kumera. Vamutsiridzi vakadzosera kuponeswa nekutenda muna Kristu kwete nemabasa. Satani akarwisa, nekukasika mhirizhonga yezvematongerwo enyika yakapindazve mukereke. Asi mavambo aive atangwa kuti tidzokere kune zvakadzidziswa nemapostora ekutanga. Nguva yekereke yeSardisi, vakapunyuka.

Bhaibheri reKing James Vhezheni rakaberekwa muna 1611 kuti ritipe Magwaro mururimi rweChirungu rikatarirwa nekuongororwa kwemakore anodarika 150 rikazopedziswa muna 1769. rakabva raita musana wenguva yakanaka yemamishinari.

Luther akasimuka semwenje unopenya mukati merima pakatanga rumutsiridzo. Kuponeswa nekutenda chete. Nekukasika vamwe vamutsiridzi vakabatana naye.

 

 

Nguva yekereke yechishanu yaive yakaita semwenje uri pamusoro apa saLuther, nevamutsiridzi vaive vafamba kuenda kune rumwe rutivi rwechigadziko chemwenje. Aida kudzorera dzidziso dzemapostora dzekuponeswa muna Kristu chete. Aive asingade kushandisa mabasa akanaka sekiyi yeruponeso vobva vabva pedyo neMagwaro eTestamente Itsva.

 

Nguva yekereke yechitanhatu yakaunza hutsvene nenguva yemamishinari

 

 

John Wesley muEngrandi, akaramba kuparidza zvematongerwo enyika nekuramba mhirizhonga, akadzorera hutsvene nekuparidzira, izvi zvakateya nheyo dzemusuwo mukuru wakazarurwa wenguva yemamishinari. Mbeu yeShoko raMwari inopa hupenyu yakatakurwa kupararira nepasi rese. Iyi ndiyo yakava nguva yakanaka yeFiradhefia, rudo kuhama munaShe.

Chakabatsira mamishinari chaive chekuti munofanira kuparidza ruponeso muzita raJesu, kwete muzita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene.

ZVAKAZARURWA 3:8 Ndinoziva mabasa ako, (tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, hakuna ungagona kuupfiga), kuti unesimba shoma hako; wakachengeta shoko rangu, ukasaramba zita rangu.

Nguva yemamishinari yaive yakazvipira mukuita mabasa makuru. Asi Mwari akavapa simba shoma kwazvo.

Saka Mwari akaona chimwe chinhu chakakosha kudarika kushanda kwevanhu venyama.

 

 

Chokwadi cheMagwaro chakatanga kusimba, saka nguva yekereke yechitanhatu yaive yakaita sezvakaita mwenje uri pamusoro apo.

Asi nhanho yaive yakakosha yaive isipo. Kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro.

 

Nguva yekereke yechinomwe yakatidzorera kukereke yekutanga

 

 

Nguva ino yatiri ndiyo kereke yeRaodikia (tarirai vanoita mazano avo vega mukereke).

Tinofanira kururama sezvaive zvakaita kereke yekutanga yemapostora kereke yeTestamente Itsva.

 

 

Kudururwa kwemweya paPentekositi muWales mugore 1904 nekune imwe nguva muchivakwa chisingazivikanwe pa312 mumugwagwa weAzusa muLos Angeles mugore 1906.

Kwakadzorera simba rinoshamisa reMweya Mutsvene.

Kereke yaive mugwara rekudzorerwa kunotenda zvakatendwa nemapostora mukereke yeTestamente Itsva. Uhu hwaive hura hwaive hwakachengetedza mbeu. Asi zvinosuwisa, negore 1917, Pentekositi yaive yatanga kupatsanurana kuita mapoka sezvaive zvaita mamwe makereke.

Mwari aive asingangodi kudzorerwa kwesimba reMweya Mutsvene; aidawo kudzorerwa kwakazara kwechokwadi cheBhaibheri.

JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.

Simba rePentekositi, pacharo, harina kutigadzirira Kuuya kwaShe.

MATEO 7:22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?

23 Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

Vanhu ava vaive nehushumiri hune simba hwePentekositi, asi vakapesana nechinhu chakakosha.

Mwari aida kuzivisa chakavanzika cheMagwaro kwatiri.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Nhasi Mbeu, inova Shoko raMwari, inofanira kuibva muchokwadi cheMagwaro chakaziviswa.

Mbeu yekupedzisira inoberekwa nedzinde inofanana nembeu yekutanga yakadyarwa hapana musiyano.

 

 

Kana nguva yechinomwe ikabereka mbeu yakasiyana nenguva yekutanga, ipapo nguva yechinomwe inenge iri musanganiswa wakagadzirwa nevanhu.

Mwari anoda kuti mbeu imwe neimwe ibereke mbeu yerudzi rwayo. Mwari haana kubvira asarudza musanganiswa.

Asi vanoenda kumakereke vanosarudza kutendeka kukereke kudarika kuBhaibheri.

Munhu mumwe nemumwe anotenda zvinoparidzwa nekereke yake. Vanodzidza kuramba chokwadi chinoziviswa chakasiyana nezvinodzidziswa nekereke yavo.

Uku ndiko kuratidzika kwekereke yechinomwe sezvo yakapfigirwa mumitemo nemirairo yakaitwa nevanhu nedzidziso dzevanhu saka haigoni kuziva chokwadi cheMagwaro chakazara.

Kereke yakabva kure kuNguva yeRima asi achiri kure nekudzokera kuzvitendero zvekutanga zvemapostora.

Tererai vaparidzi vemakereke vachikuudzai zvakakanganiswa, zvinorwisana, ngano, nekurasika kweBhaibheri reKing James Vhezheni. Saka havana Mukuru wekutevera zvakazara.

Saka munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia (yekodzero dzevanhu), kereke yakarasa gwara.

 

 

Kereke inofanira kudzokera kunotenda zvakatendwa muBhaibheri muTestamente Itsva.

Asi huchenjeri hweBhaibheri hunombunyikidzwa munguva yedu yechinomwe.

Bhaibheri rinotiyambira kuti nguva yekereke yechinomwe ibofu.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:

17 ... usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.

Kereke yakabudirira zvakanyanya uye kuunganidza pfuma zvakanyanya pachinzvimbo chekutevera Bhaibheri zvakanyanya.

Nhasi kune masangano anodarika 45,000 akasiyana emakereke magungano nevasiri. Vanomiririra zvinhu zvakawanda zvavanotenda mazviri zvakasiyana.

Makereke nhasi vanogona kuita kuti vanhu vaponeswe (zvakanaka) vodzidzisa vanhu chokwadi chakawanda chakanaka pamusoro peMweya Mutsvene uye kuti vorarama sei hupenyu hwakanaka. Asi kereke inoenderera mberi ichirasika, vanotangira panzira zhinji dzakasiyana dzekubapatidza munguva inosundwa nemari yechiKristu chemakwikwi chine tsika zhinji dzisimo muMagwaro (chinhu chakaipa kwazvo). Musanganiswa uyu wezvakanaka nezvakaipa unoita kuti kereke ishaiwe kupisa kana kutonhora yosara ichidziya. Zvakadaro, vanoda kwazvo kuramba zaruriro dzeMagwaro dzenguva yekupedzisira. Saka Jesu amire kunze kwemukova wekereke.

ZVAKAZARURWA 3:1 Nyorera mutumwa wekereke iri paSardhisi, uti:

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza;

Kereke yenguva yekupedzisira inoramba Jesu, Shoko raMwari. Vanofara kudzorera Mweya waMwari asi kwete Chokwadi cheShoko rakaziviswa.

Izvi ndizvo zvinofanira kuva zviri nguva yekereke yechinomwe apo inotsvaga kudzorerwa kuMweya neChokwadi chekereke yeTestamente Itsva.

Saka kudzorerwa kweMweya neChokwadi, kumuenzaniso wekereke yeTestamente Itsva, kubva pakutanga kweRumutsiridzo muna 1520 kunoratidzika seizvi:

Saka tikatarisa chigadziko chemwenje chese, muzvikamu zvechiedza chechokwadi cheBhaibheri, kunozivisa zvinhu zviviri.

 

 

Mwenje wepakati ndiwo waive kereke yekutanga.

Nguva dzekereke yekutanga kusvika yechina dzinozivisa nguva yekubva pachiedza cheMagwaro.

Kereke yechishanu kusvika pane yechinomwe dzinozivisa kufamba kudzokera kuMagwaro, kuruboshwe, zvinozoguma chete kana kereke yekupedzisira yafanana nekereke yekutanga.

Arfa naOmega wekutanga neWekupedzisira, zvinofanira kupindirana nekereke yechinomwe ichidzoserwa kunguva yekereke yekutanga.

 

 

 

Chiratidzo cheramagwana rakanaka

 

 

Ndapota zivai kuti kune hudzamu hukurusa mumicherechedzo yaZvakazarurwa.

Micherechedzo mizhinji iri mubhuku raZvakazarurwa inobata nhoroondo yekereke uye zviitiko zvinosvika paKuuya kwaShe nemakore matatu nehafu eKutambudzika kukru anopindira kana Evangeri radzokera kumaJuda. Kunobva kwauya hondo huru yeAmagedhoni nemakore 1000 erugare Denga idzva neNyika itsva zvisati zvavapo.

ZVAKAZARURWA 21:1 Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.

Kuchange kusisina gungwa.

Nyika yatiri nhasi ndiyo nyika yekutanga. Ichavapo kusvikira pakupera kwemakore 1000 eHushe hweMereniyamu. Gungwa rinobva raputika ronyangarika nechiso chenyika, roparadza migodhi yedu yakadzikisisa nemaguta edu ese. Pamadota echikwatamabwe anenge asara, Mwari anovaka nyika Itsva inorarama nekusingaperi.

 

 

Gungwa rinoputika roparadza zvakazara chiso chenyika zvimisikidzo zvese zvemuchadenga zvotsva. Hakuzovi nechinosara chezivo dzedu dzesainzi “chekuyemura” kuti kwakaitwa zvinhu zvikuru asi zvakakonzerawo kuipa kukuru nekugadzira kusagandikana kwezvinhu kukuru.

Muchero wekupedzisira wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa usingagariki nawo.

Jesu achitonga panyika kwemakore 1 000 ndiko kuraira kwedu kwekutanga zvinoita Denga. Saka Mereniyamu ndiyo Denga rekutanga.

Hupenyu husingagumi hunovakwa panheyo dziri nani kwazvo, dzinova Ishe Jesu Kristu. Iye neimwe nzira achabatanidza Denga neNyika kuitira vaya vanozvarwa patsva muMweya neMuzvokwadi.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23