Zvatakatemerwa uye Zvatinoda kuita
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Zvese zvatakatemerwa nezvatinoda kuita zviri muMagwaro saka zvese zvinofanira kuitika pamwechete.
Zvinoita mubatanidzwa wakadzama pakati pendangariro dzaMwari nenjere dzedu zvisina kureruka kuzvinzwisisa.
ZVAKAZARURWA 22:17 Mweya nomwenga vanoti: Vuya!. Naiye unonzwa ngaati: Vuya! Unenyota ngaavuye. Unoda ngaatore mvura yovupenyu asingatengi.
VAROMA 8:30 Avo vaakatemera kare, ndivo vaakadana vo; vaakadana, ndivo vaakaruramisira vo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudza vo.
Zvaakatema ndiwo maonero anoita Mwari zvinhu nekuti nguva yehupenyu hwako yakazaruka pamberi pake zvekuti anoona ramangwana. Zvakatemwa zvinorevawo kuti Mwari ane zano raakaronga kuti rizadziswe. Mwari ndiye anotonga zviitiko zvikuru zvese nezviduku zvehupenyu.
Zvatinoda ndiwo maonero atinoita zvinhu nekuti hatigoni kuona zviri mberi.
Kuita kuda kwedu zvinoreva kuti ndiri munhu akazvimiririra anogona kusarudza zvaanoda kuita kana zvaasingadi kuita. Kuzvisarudzira zvinoreva kuti ndiri kutonga hupenyu hwangu ndega.
Kuita zvatinoda uye zvatakatemerwa kana takazvitarisa zvinoita sezvinorwisana asi zvinhu zvakarukaniswa uye hazvifi zvakaita sezvinemusoro kwatiri kusvika tatarisa miganhu mikuru mitatu.
- Musatendere simba rekuita kuda kwenyu kuti kuve chitambi chekuita zvinhu zvenyu mega.
- Musatendere zvamakatemerwa kuti zviite vanhu midziyo yenyu kana varanda venyu.
- Musaita kuti zvamakatemerwa uye kuda kwenyu zvirwisane, chero muchifunga kuti zvinorwisana. Zvese zviri zviviri, neimwe nzira, zvinoshanda pamwechete.
Vesainzi vakaona kuti chiedza chinoita hunhu hwemafungu zvekuti chinoita masaisai chichienda mativi ose sezvinoitika kana tikavidza ibwe mumvura, uye sechinhu chakabatana chinoenda nerutivi rumwechete chete. Asi neimwe nzira, hunhu uhu hwese “hunopokana” ndehwechiedza chimwechete. Uye hunoshandidzana hwakadaro.
Mwari anoda kutitungamirira munzira yezvaakatitemera asi anodawo kuti tiite kuda kwedu kunova sarudzo dzedu.
Zvinhu zviviri izvi zvinobatana, zvichitsigirana, kana imi nekuda kwesarudzo dzenyu mukatendera Mwari kukutungamirirai kunzira yake yaakafanotema pamusoro pehupenyu hwenyu.
Munofanira kumuda nekuvimba maari zvakanyanya zvekuti munoda kuti Iye aratidze zvakavanzika zveBhaibheri zvinokuratidzai zvamunofanira kutenda mazviri uye zvamunofanira kuita kuti muzadzise zano rake raakatema nguva isati yabvira yatanga.
Munofanirawo kuziva kuti hamuziviwo zvakakwana kuti mugone kusarudza nzira yakanaka uye kuti ruzivo rwenyu haruna kukwanira kuti munzwisise zvakavanzika zveBhaibheri.
Semuenzaniso. Makasununguka kusarudza kuva munhu anoita sainzi dzemaroketi. Asi hamuna kusununguka kugadzira roketi chero kwamada. Hamuna zvakawanda zvamunoziva pakutanga saka munenge muchida kudzidziswa. Munofanira kuvaka zviri pamurairo unozivikanwa wesainzi kana muchida kubva pakubata kwesimba renyika rekudhonzera pasi. (nekuti chese chinoenda mudenga chinodonha nekuda kwesimba rine nyika rekudhonzera pasi).
Kana tikasarudza kuda kuenda kuDenga topunyuka kubva pakudhonzerwa pasi nezvenyika ino nekushaiwa zivo pamusoro peBhaibheri tinofanira kutevera nzira yatakatemerwa inoenda kumuchinjiko. Mabasa akanaka haatiponese. Ruzivo pamusoro pezvimwe zvitendero harugoni kutiponesa. Tinofanira kutendeuka tokumbira Jesu kuti aregerere zvivi zvedu. Ichi chiitiko chinoitika kamwechete patinomugamuchira semuponesi wedu nekuti ndiye ega Musuwo wakatemwa unopinda Denga.
Uhu hukama hwemunhu akazvimiririra ega naMwari wake. Hapana umwe munhu anopindira.
Vanhu vanokwanisa kukuratidza nzira yekuti usangane naJesu, asi hakuna anogona kukuponesa, kunze kwaJesu.
Asi Denga rime mapoka akasiyana.
Saka izvi zvinoreva kuti maKristu akazvipira kunaJesu uye zvinotaurwa neBhaibheri kana kuti vakazvipira kune zvinotaurwa nevanhu vanotungamirira netsika dzemakereke avo dzinoti chikamu Magwaro chikamu chisiri muMagwaro asi dziri njere dzevanhu.
MATEO 25:1 Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi, vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba.
2 Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.
3 Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.
4 Asi vakachenjera vakatora Mafuta mumidziyo yavo, nemwenje yavo.
MaKristu anogona kusarudza kuti vanoda kuenda rutivi rwupi, kuenda kurutivi rwemapenzi here kana kuenda rutivi rwevasikana vakangwara.
Zvino vanobva vaudzwa zvekuita uye kuti votenda mune zvipi.
Vanogona kusarudza kutevera Bhaibheri nedzidziso dzaro kana dzidziso netsika dzekereke yavo.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Musikana mhandara mukadzi akachena. Saka pano tiri kushanda nemaKristu akaponeswa.
II VAKORINTE 11:2 Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari, nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kuna Kristu semhandara yakachena.
MaKristu akaponeswa vanotora Bhaibheri rese reKing James Vhezheni vokoshesa zvese zvarinotaura seChokwadi Chikuru chaMwari kana vachida kuva vasikana vakangwara vanozoita Mwenga waKristu.
Vanoenda kumakereke vakaponeswa vanongonhonga nekusarudza mamwe Magwaro anovaitira vofuratira kana kuramba mamwe ese. Vanosarudza rimwechete kana akati wandei emamwe vaBhaibheri akaturikirwa anodarika zana ariko. Vanofara nechero mamwe maBhaibheri avainawo. Bhaibheri ringori gwara kwete Mukuru wavo. Saka vanokwana kuvasikana mapenzi.
Asi, vese vanoenda kuDenga kunyangwe zvazvo vachizofamba nenzira mbiri dzakasiyana vachinowana migove yakasiyana.
Vasikana mapenzi vanoenda nenzira yepasi. Vasikana vakachenjera vanoenda nenzira yepamusoro.
Sekuziva kunoita vanokwira makomo, nzira yepazasi iri nyore kufamba nayo asi nzira yepamusoro inoda simba guru uye kukwidza mikata yakawanda.
Tinosarudza nzira inotitemera kuva mukereke iri nyore kuva pakati payo uye ine mbiri ine manamatiro embiri kana kuti kusarudza kutsvaga nekunzvera chokwadi chemagwaro kwakarema pakati penzvimbo dzakadzama.
Vasikana mapenzi vakapa simba ravo resarudzo pavakatendeuka vakatevera Jesu kumuchinjikwa seMuponesi mumwechete wavakatemerwa.
Vabva ipapo vakabva vava vaendi vekumakereke sezvo izvozvo zvaivapa simba ravo rekusarudza kereke imwechete kana dzakati kuti pakati pemasangano anodarika 45 000 emakereke akazarurwa kuitira bhizimisi.
Rimwe nerimwe remasangano aya rine tsika dzaro uye zvitendero zvaro zvisiri muBhaibheri.
Rimwe nerimwe rawo rine zvinangwa zvaro uye rinosarudza mamwe mavhesi kubva muBhaibheri vosiya mamwe mavhesi vachiti anorwisa zvavanotenda, kana kuti akakanganiswa, kana kuti inhema, kana kuti haana maturo kana kuti haana kukosha.
Kana vakatarisana nechikamu chakaoma kunzwisisa muBhaibheri vanonzvenga nekuvanda vachiti, “Zvakakosha kuti ndizvizive here?”
Sekuti kunzwisisa chikamu cheBhaibheri hakuna kukosha.
Vesainzi vakangowana basa rezvikamu zvishanu kubva muzana chete zveDNA. Vanotora zvimwe zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana semarara.
Vesainzi vanotarisa munzvimbo dzemuchadenga voedza kutsanangura kuti zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana zvenzvimbo zvine simba ravanodaidza kuti dhaki eneji nedhaki meta (Dark Energy, Dark Matter.) Rima (dhaki) zvinoreva kuti hatizivi kuti chii. Saka vanotaura kuti tinogona chete kuona nekuedza kunzwisisa zvikamu zvishanu kubva muzana zvenzvimbo yatiri neyemuchadenga. Zvakangodarowo nekukura kwakaita kusaziva kwavanako pamusoro peDNA redu.
Vasikana mapenzi vanoenda kumakereke vanoita kukanganisa kumwechete uku. Kusaziva zvakawanda zveBhaibheri hakuvatyisi sezvo vachifunga kuti chakakosha kuenda kukereke kakawanda.
Vanofunga kuti nekuti vakaponeswa uye vanoyanana naJesu vanokwanisa kutamba havo tomuka-nzvenga -wosvetuka pamavhesi akawanda eBhaibheri avasingagoni kutsanangurirwa nemakereke avo. Vanowanzoshaiwa rudo pamusoro pezvikamu izvi zveBhaibheri zvavasinganzwisisi sezvo vasingadi kubvira vabvuma kuti umwe munhu kunze kwekereke yavakasarudza anogona kuvadzidzisa chimwe chinhu.
Vanotya kubvuma kuti kereke yavo ine zvimwe zvinhu kana chimwechete chainotadza nekuti kana vakabvuma kamwechete unobva waita mukova unozarura zvavanotadza zvakawanda.
Vanogutsikana kwazvo nekunzwisisa chikamu chiduku cheBhaibheri.
Saka vanoda kwazvo makereke avo nevatumgamiri vemakereke avo. Vanotiwo vanoda Jesu. Asi kutenda kunofanira kuva panaJesu neBhaibheri chete. Hakuna munhu kana boka revanhu ratinofanira kukoshesa. Vanhu vagara vane kukanganisa kwavanako, chero tisingazivi kukanganisa kwavo. Tese tine tsoka dzevhu rakasangana nedare. Zvakanaka nezvakaipa.
Asi Jesu ndiye Shoko. Nekufuratira zvakawanda zveBhaibheri vasikana mapenzi vanoenda kumakereke vari kufuratira zvakawanda pamusoro paJesu.
Kana pane zvakawanda pamusoro pemukadzi wangu zvandisingazivi, zvandisingafariri, ndinenge ndisina hukama hwakadzama naye. Saka vasikana mapenzi, vanoenda kumakereke, havana hukama hwakadzama neBhaibheri, ndangariro dzaJesu. Vanofunga kuti vari pedyo Naye, asi vasingazivi zvaanofunga. Saka hukama hwavo hauna kusimba sezvavanofunga.
Nzira yakatemerwa vasikana mapenzi vakaponeswa ndeyei?
Vanopinda nepamukova wepamuchinjikwa kuti vaponeswe. Vanobva vasarudza kuenda kukereke kwakareruka nzira yakareruka inonovasiya munguva yeKutambudzika kukuru vonouraiwa zvinorwadza munguva yeKutambudzika kukuru. Asi vanofanira kuponeswa nguva yeKutambudzika isati yatanga Jesu achiri akagara pachigaro chenyasha. Vonopinda munzvimbo yakachengetwa kudenga kuitira vasikana mapenzi vaida zvekuenda kumakereke zvakareruka vasinganzveri Magwaro zvakazara. Ichi chikamu chenzvimbo “yevakafa muna Kristu”, yemaKristu asina kubvira akoshesa Bhaibheri zvakazara. Ikoko vanonogara kwemakore 1000.
Mumashure maizvozvo vanozoita chikamu cherumuko rwevakafa. Vanobva vazonotongwa Musi weKutongwa. Asi vanozoregererwa sezvo vakaponeswa.
VAFIRIPI 3:11 Kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwevakafa.
Pauro haasi kutaura pamusoro perumuko runouya mumashure memakore 1000 erugare, sezvo uru ruchaitika kuvanhu vose.
Pauro, sedzimwe nhengo dzese dzemwenga, anodisa kwazvo kuva chikamu cherumuko rwevatsvene venguva dzemakereke nguva yeKuuya kwaShe isati yasvika.
I VATESARONIKA 4:16 ... vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
17 Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo mumakore kuti tichingamidze Ishe mudenga, naizvozvo tichava naShe nguva dzose.
Jerusarema Idzva ipiramidhi guru richagara Jesu neMwenga wake. Vasikana mapenzi vachagara kunze kweguta.
Vagari venzvimbo yechipiri nekusingagumi. Asi zviri nani nekuti vanenge varik0 Kudenga.
Kukanganisa kwavo kukuru kwaive kusarudza kubatirira pakuda kwavo kuti vararame nekupfeka nekutenda zvavanoda, mumashure mekuponeswa. Vakakoshesa kodzero dzavo. Vakakoshesa kodzero dzekereke yavo.
Raodikia, nguva yekereke yekupedzisira, zvinoreva kuti “kodzero dzevanhu.”
Kukanganisa kwavo ndekwekufunga kuti kuita simba rekusarudza kwavo kunoreva kuti vakasununguka kuita zvavanoda.
Nekusatevera Bhaibheri zvakazara havana nzira yavakatemerwa inovatungamirira kuti vagosangana nekuuya kwaShe kwakavanzika. Kuuya kwaShe ndicho chakavanzika chikuru panyika nekudenga zvose. Hatigoni kungogara tofunga kuti zvichaitika kwatiri.
Bhaibheri rinozivisa nzira yakavanzwa yatinogona kugadzirira nayo kuuya kwechiitiko chikuru ichi.
MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakakotsira vose, vakavata.
Chinhu chinotyisa padanho ratiri nhasi.
MaKristu ese, Mwenga nevanoenda kukereke, vakavata.
Zvinoreva kuti hatizivi kuti chii chiri kuitika. Zviitiko zvakawandisa zvenyika ino zvinotsvaira zvichipfuura nepatiri asi hatigoni kufungidzira kana kuziva kuti chii chichaitika chinotevera.
MATEO 25:6 Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere: Chikomba chovuya! Budai mumuchingamidzei!
7 Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje.
Pakati povusiku. Nguva yerima.
Pakati povusiku kanguva kaduku munguva. Haasi makore ese emazuva enzwi remutumwa wechinomwe.
Mhere-mhere. Pakarepo uye nokukasika. Asi ine kuita kunoshamisa nekudakadza. Yakamutsa vanhu vose, Mwenga nevanoenda kumakereke.
MATEO 25:8 Mapenzi akati kunavakachenjera, Tipeivo mamwe mafuta enyu; nokuti mwenje yedu yadzima.
Izvi hazvina kubvira zvakaitika. Pachinzvimbo chekuramba Chokwadi, zvinogaroitwa nevanoenda kumakereke, vakauya kuMwenga kuzotsvaga rubatsiro.
Masangano ese achanetsa Mwenga kuti avatsanangurire zvinenge zvoitika ipapo.
Saka mhere-mhere iyi ichava chiitiko chinozunza nyika.
Ichashandura vanoenda kumakereke pakarepo kubva pakuva vanhu vanoramba chokwadi kuita vanhu vanotsvaga chokwadi nomoyo inoda.
Asi Mwenga anenge asisagoni kuvabatsira. Nei?
MATEO 25:9 Asi vakachenjera vakapindura, vakati: Kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose: endai henyu kunavanotengesa, muzvitengere.
“Muzvitengere”. Kune muripo unoripirwa. Jesu akamira kunze kwekereke. Kana muchida chokwadi munofanira kupinda parwendo rweeksodo yetatu yekubuda mukereke.
“Muzvitengere”. Izaruriro inouya kumunhu mumwe nemumwe. Kwete kuboka kana mubatanidzwa wemakereke.
Munofanira kuzvionera muMagwaro. Kuita kunge shiri yeparoti muchidzokorora zvamakabata paitaura vanhu hazvizokubatsirei zvachose.
Zvino vasikana mapenzi vanobva vatanga kudzidza pamusoro pezvakavanzika zvose zvemavhesi ari muBhaibheri avaive vamboramba vachiti haana basa. Izvi zvichatora nguva zhinji uye vachafanira kutsvaga Mwari kuti vawane Mweya Mutsvene wakakwana kuti vazarurwe meso avo uvatungamirire muzvokwadi yose.
Panguva iyoyo Kutinhira kunomwe kuchareva manzwi ako akavanzika. Zvakuchareva hazvina kunyorwa muBhaibheri saka richava basa chairo kuti Mwenga aronde gwara rezviitiko zvakavanzika izvi zvakavanzwa muBhaibheri neimwe nzira zvisina kunyorwa.
Panguva pfupi yavanenge vanayo, Mwenga haazogoni kuwana zaruriro yeKutinhira kunomwe kusina kunyorwa nekudzidzisa zvakavanzika zvakanyorwa kuvasikana mapenzi zvakare.
MATEO 25:10 Vakati vachienda kundotenga, Chikomba ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda nacho pamutambo wokuwana, mukova ukapfigwa.
Mutsetse unotsaura maKristu akachenjera nemapenzi ndiwo muganhu uripo pakati peMagwaro akanyorwa neasina kunyorwa.
Vaya vakagona kusunungura kana kutambanudza Kutinhira kwakavanzika vanokunda. Vakatsvaga Kutinhira kwakavanzwa muBhaibheri kusina kunyorwa.
Asi kuti vaite izvozvo vaifanira kukwanisa kunzwisisa zvaive zvakanyorwa muBhaibheri.
Saka Mwenga akakoshesa kuburitsa pachena zvakavanzika zveMagwaro.
Vanoenda kumakereke vakakoshesa mazwi avakabata paitaura vanhu nekuturikirwa kwawo zvaisakwanisa kurondwa zvichitsigirwa nemavhesi eBhaibheri.
Vakaturikira Kutinhira kunomwe kusina kunyorwa muzvikamu zvezvinhu zvakanyorwa muBhaibheri. Saka vakakundikana pamutsetse wepamuganhu.
Havana kubvira vagona kuyambuka kunopinda pakunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro zvisina kunyorwa zvichaziviswa chete mumashure mekumuka kwevakafa.
MATEO 25:11 Pashure vamwe vasikana vakasvika; vakati: Ishe, Ishe, tizarurirei!
Vaive vanotsvaga Mweya mumakereke vakadzoka vakazadzwa nedzidziso dzeTiriniti.
Tiriniti haina kunyorwa muBhaibheri saka inhema.
Vanoenda kumakereke vanopedzisira vapererwa vonopinda munguva yeKutambudzika nekuti vakatenda dzidziso dzenhema dzisina kunyorwa muBhaibheri. Tiriniti haina kuvanzwa muBhaibheri. Itsvina yakaiswa muchiKristu nekereke yeRoman Catholic.
Mwenga akapunyuka nguva yeKutambudzika kukuru akakwanisa kunzwisisa zvakavanzika zvikuru zveKutinhira. Uku ndiko kuedzwa kukuru kwekupedzisira kwekugona kwedu kunzwisisa zvakavanzwa muBhaibheri.
MATEO 25:12 Akapindura, akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri; Handikuziviyi imi.
Handikuziviyi”. Vasikana mapenzi vaifunga kuti vaive nehukama hwepedyo naJesu zvisinei nekuti vaive vasina rudo nezvakavanzika zveBhaibheri. Mwari akazivisa zvakavanzika kuna William Branham asi vasikana mapenzi vaida kwazvo makereke avo kudarika chokwadi chakaziviswa. Saka vanoramba Shoko rakaziviswa, rinova Jesu. Saka akamira kunze kwemukova wekereke, akarambwa. Saka paive pasina hukama hwepedyo pakati paJesu nevasikana mapenzi vari mukereke.
Vanotenda kuMharidzo vakapindawo pakati pevasikana mapenzi nekusimudzira hama William Branham kumuisa pahuMwari nekutaura kuti ndiyeIzwi raMwari. Vakabva vatsiva Shoko rakanyorwa nezvaakataura. Vakabva vatanga kuturikira Kutinhira kusina kunyorwa nezvako nezvakanyorwa muBhaibheri.
Saka hapana hukama hwepedyo pakati pavo naJesu.
MATEO 25:13 Naizvozvo, rindai, nokuti hamuzivi zuva kana nguva.
“Rindai”. Rindai zviitiko zvepasi pano muone kuti anogona kuzviturikira nenzira dzeMagwaro ndiyani.
Tsvagai muMagwaro kuti munzwisise zvakavanzika zvakanyorwa. Ipapo chete ndipo patichava pachinzvimbo chekunzwisisa zvakavanzika zvakanyorwa.
Izvozvi ndiwo mukana wedu wekudzidza chokwadi cheBhaibheri chakanyorwa.
Chokwadi cheBhaibheri ndicho chinodiwa nevasikana mapenzi kuti vanzwe pavanomuka. Vachaziva kuti makereke avo akavanyengera uye vachada kuziva, “Zvakanyorwa zvichinzi....”.
Vanotora nzira yakareruka vonyenyeredza zvikamu zvakaoma zveMagwaro zvinoreva zvinhu zvakavanzwa.
Vaida chete kuziva zvishoma. Paive nezvakavanzika zvakawandisa zvavaisaziva uye vaive vasina hanya nazvo.
Muzvikamu zveruzivo rweBhaibheri, vaive vakagutsikana nekushaiwa zivo.
DEUTERONOMIO 29:29 Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJEHOVA Mwari wedu: asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu; isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurairo uyu.
Mwari akazivisa zvakavanzika zvakawanda mukufamba kwaiita nguva. Asi vanoenda kumakereke, vakadekara havo vagere mumakereke avo, vasingatereri chero vanhu vari kunze kwemakereke avo.
MARKO 4:34 Haana-kutaura navo kunze kwemifananidzo, asi waidudzira vadzidzi vake zvose vari voga.
Aiparidza asi vashoma chete ndivo vaisara kwaari kuti vagonzwa zaruriro yezvakavanzika izvi zvaaiparidza nezvazvo.
Vakawanda vacho, havana kunzwisisa, uye havana kuita hanya kutsvaga zvinoreva zvavaive vanzwa. Kushaiwa zivo pamusoro peShoko hakuna kana kuvatyisa pavaifamba vachienda.
Vanhu vaikwanisa kusarudza kuenda kana kugara vosara vachinzwa tsananguro yedzidziso dzavaive vapihwa. Asi tsananguro, kana mukasarudza kuterera, dzaikuudzai pamusoro penzira imwechete yamunofanira kutevera.
Munogona kusarudza nzira, asi musina imwe sarudzo asi kutevera nzira iyoyo uye musingagoni kuita imwe sarudzo inozokusvitsai kwamakatemerwa.
Makasununguka kuita sarudzo yenzira yamunotevera, asi hamuna sarudzo pamusoro pezvichakuwirai nekuda kwesarudzo dzenyu.
Hakuna nzira yakareruka kuti tisvike pachokwadi.
Kutambudzika ndiwo murairo wekukura.
ISAYA 55:9 Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuvura nyika; saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuvura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuvura ndangariro dzenyu.
Hakuna nzira zvachose yatichagona kubatanidza ndangariro dzaMwari muruzivo rwedu.
Saka avo vari kuvimba netsika nezvinyakare zvemakereke avo havasangani nenzira yekuti vatorwe pakukwira kuDenga kunosangana naShe kumakore. Zviri kusi kweruzivo rwevanhu.
Mwari anoda kuzarura maziso edu kuruzivo rwakavanzwa muShoko rake.
Kuzvisarudzira zvinoreva kuti makasununguka kudaira Mwari, asi munenge muchifanira kuuya nenzira yake yaakatema yeMagwaro.
Saka tinoita sei vasikana vakachenjera?
Dambudziko redu nderekuti, tingabatirira sei pazvinhu zviviri izvi zvinoita sezvinopesana zvinoti kuda kwedu uye zvatakatemerwa? Hazvisi nyore.
Tinowana gwara kubva kuna Jesu. Akava zvose Munhu naMwari.
SaMwari aive akarurama uye haana kubvira ashandura zano rake rezvaakatema zvachose.
Semunhu akazvipira kuramba kuita kuda kwake akabvuma kufa kuti Kuda kwaMwari kuitwe.
Rudzi rwevanhu naMwari hazvigoni kurarama murunyararo panyika kunze kwekunge takazvipira kufa kuhunhu kwedu.
Asi tinofanira kuda kufa pakuita sarudzo dzedu.
MATEO 26:42 Akaenda zve rwechipiri, akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana mukombe uyu usingagoni kupfuvura ndisingaunwi, kuda kwenyu ngakuitwe.
Kutorwa kunosangana naShe mumakore kwakafanana nekushandisa roketi remweya rinovakwa chete panzira dzakatemwa kare. Kana tikashandura nzira dzeBhaibheri nechero nzira, hatizokwiri kudenga.
Makasununguka kusarudza kuva chikamu cheMwenga asi munenge musina kusununguka kutevera mazano enyu.
Zvakatemerwa Mwenga kana kuti vasikana vakachenjera Rwizi rwaMwari rweHupenyu runoyerera mukati mezviitiko zvenyika yedu izere zviitiko zvizhinji. Zano iri rakatsanangurwa muBhaibheri kana tichiziva chete kuti toriwana sei imomo.
ZVAKAZARURWA 3:18 … Nechizoro chameso, kuti uzore meso ako uvone.
Zvatinozvisarudzira kuita kadziva kaduku kesarudzo dzedu. Ndinokwanisa kutiva ndichienda kune chero rutivi rwandinoda mukadziva ikako. Asi handigoni kuona zviri munguva inouya.
Kana ndichida kuva ndakatemerwa kuva muMwenga waKristu ndinofanira kufa kuzvido zvangu ndotendera Jesu kukandira kadziva kangu kezvido zvangu muRwizi rweKuda kwaMwari. Ipapo kuda kwangu kunobva kwaguma sezvo ndinenge ndatsvairwa neMuono wake Mukuru wakavanzika wakatemwa kare.
Vanhu vanogona kugara mukereke asi vasiri vekereke, vari veShoko. Vanenge vasingatenderane nekereke sezvo vachiterera nekutenda zvakanyorwa muBhaibheri reKing James Vhezheni.
Jesu anogona kubatanidza zvinhu zviviri zvinopokana.
Ndiye Mwari Wemasimba ose akarurama akasika tese anotitonga neShoko rake rakarurama chete, Bhaibheri. Izvozvo chete zvinoreva kuti hatina tariro nekuti hakuna mumwe wedu anogona kuzadzisa hwaro hwaMwari.
Uye anouyawo ari Muponesi wedu uye murevereri wedu. Mubasa iroro anoita zvese zvaanogona kutiponesa kupfurikidza kuripira zvivi zvedu kuti tiregererwe zvivi zvedu. Mubasa iroro anozvideredza kusvika pachidanho chatiri oshanda nesu sevanhu. Mubasa iri akatifira kuti aripire zvivi zvedu.
Saka Jesu anoonekwa muzviedza zviviri.
Ndiye Mwari akarurama uye Shoko Guru asina chivi zvachose.
Ndiyewo Chibairo akararama munyika izere zvivi kuti atakure zvivi zvedu kure kure anozvirasira panaDiaborosi kugehena.
Saka Kuda kwedu chii?
Kuda kwedu kwakakoshera kuti tisaite midziyo. Unogona kumanikidza mwana kuita hunhu nekuti vanofanira kuhuita, nekushandisa murango. Asi zviri nani kwazvo kumwana agara anoda kuita hunhu.
Kuda kwangu zvinoreva kuti ndinokwanisa kuita sarudzo dzangu.
Asi mumashure maizvozvo handina kusununguka nekuti kuita kwangu kunokonzeresa.
Ipapo ndinomanikidzwa kuita zvimwe zvinhu kuti ndigone kurarama nezvakonzerwa nekuita kwangu. Uye zvinhu zvese zvandinofanira kuita zvinenge zvichingokonzera zvimwe. Saka pakupedzisira ndinenge ndane sarudzo shoma kazvo pamusoro pezvandinofanira kuita. Ndinenge ndichingoitiswa nekuda kwezviitiko, uye zvinondiwira pachinzvimbo chekuti ndive ndakasununguka kuita zvandinoda.
Zvakakodzera kuitwa zvinopawo muganhu kusarudzo dzangu. Ndinofanira kuita zvimwe zvinhu kuti ndirarame uye ndikunde zvisinei nekuti ndiri kuda here kana kuti kwete.
Zvinodiwa munyika ino zvinokwanisa kumanikidza kwazvo rusununguko rwangu rwekusarudza pandinenge ndabatwa mune zvimwe zviitiko ndichimanikidzwa kuita zvinhu neimwe nzira.
Tsaona nekurwiswa nevavengi zvinondimanikidza kuita zvimwe zvinhu, chero ndisingadi kuzviita.
Saka tinogara pasi toongorora hupenyu hwedu, hatina zvachose kuzvisarudzira kwakatambanuka muzviitiko zvizhinji zvehupenyu.
Makasununguka kusarudza basa asi munofanira kuisa maawa masere pabasa iroro pazuva.
Hupenyu chinhu chakarema kwazvo pakati pezvandinoda nezvandinofanira kuita.
Saka kuzvisarudzira zvinorevei muzvikamu zvemweya?
Tinofanira zvichibva pasarudzo dzedu kuona kuti hatigoni kuzviponesa nekutendeuka zvakazara kubva kuzvivi zvedu nekukumbira Jesu kuti atiponese.
Chiitiko cheruponeso ichi chinoreva kuti tichaenda kuDenga patichafa.
Chiitiko ichi hachina muripo wachinoda kubva kune chero munhu anoda kuita sarudzo iyi.
Kana Mwari akaona kuti munhu ari kutendeuka zvechokwadi, Mwari anobva amupa kutenda kwekuti atende.
Ruponeso chikamu chinoti netsei kunzwisisa sezvo rwakabatira pakutendeka kwemoyo yedu kusina anoona.
Kana vanhu vakangodzokorora munamato wemutadzi kuti vaende kudenga kana kuti vapunyuke kukandwa mugehena, hazvishandi zvakanaka kwenguva refu. Kutendeuka kunofanira kubva pakuzvipira nekusada zvivi pachinzvimbo chekutsvaga kuzviwanira chimwe chinhu.
Kutendeuka kwechokwadi rudo rwekufa kuzvivi zvedu tozvipira moyo nehupenyu hwedu kuna Mwari, zvisinei nezviitiko zviripo.
Tinofanira kusema zvivi zvedu towira murudo naMwari.
Tinofanira kuda Mwari kwete kuzvida. Ndipo pekutangira.
Kuda kwangu zvinoreva kuti kutarisa zvinhu nemaonero angu.
Ndinogona kusarudza kutendeuka kana kuramba kutendeuka.
Zvino ndinofanira kuda Mwari zvichibva pasarudzo dzangu. Haandimanikidzi kumuda.
Kuponeswa ingori nyaya yekuisa kadziva kezvido zvangu mumaoko aMwari.
Patinotendeuka togamuchira Jesu seMuponesi wedu tinova chikamu chevasikana mapenzi.
Kuponeswa zvinoreva kuti tinoenda kudenga, asiwo kunguva yeKutambudzika kukuru sezvo kuponeswa chete hakuna kukwanira kuti kutiite Mwenga.
Vakawanda vakadanwa kuti vaponeswe naMwari asi vashoma kwazvo vakasarudzwa kuti vave chikamu cheMwenga wake nekuti Mwari anoona kuti vakawanda vedu tinoda kuzviraramira hupenyu hwedu, pachinzvimbo chekuita zvaanoda kuti tiite.
MATAEO 20:16 … Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.
Munhu anoita basa rekudzima moto anokwanisa kuponesa chero mukadzi anenge ari mumba munenge muchitsva anenge achida kuponeswa asi hapana pakati pevakadzi ivavo anokwanisa kumuudza kuti avaroore. Chero mukadzi anoda kuti amuroore anenge achifanira kuva zvinotarisirwa nemunhu iyeye.
Zvatakatemerwa inzira yaMwari yaanotarisa nayo zvinhu nekuti anoona zvakadarika uye zvichaitika.
Kana tikagamuchira Jesu saIshe naMuponesi wedu tinobva taziva zvatakatemerwa nekuti tinoziva kuti Mwari aiziva kuti izvi zvichaitika.
Asi taisaziva kuti zvichaitika, saka taifanira kumugamuchira saMuponesi wedu zvichibva pakuda kwedu.
Shinda mbiri dzakarukaniswa. Zvatakatemerwa uye kuda kwedu zvakarukaniswa.
Munyika ino yakaipa ndinotendeuka nekuda kwekuti kuda kwangu ndiko kwaita kuti ndidaro.
Kuda kwangu kutendeuka kunoita kuti Mwari andipe kutenda kwekuita izvozvo. Anopa zvido zvemoyo yedu chaizvo. Asi Mwari ndiye anga achitonga zviitiko zvacho zvese.
Zvisinei, ndaikwanisa kuramba kutendeuka kana ndaida hangu. Asi aiziva kare kuti ndaisaramba.
Saka Mwari anoita zvinhu zvinorema kwazvo.
Kugadzira zviitiko zvinondipoteredza zvinonditungamirira kuenda pakunotendeuka kwangu asi nguva imwechete iyoyo akamira hake achindipa rusununguko rwekubvuma kana kuramba.
Haadi kuti ndive seroboti rinoshanda nekombiyuta. Haadi kuti ndiite kunge mhuka inoshandiswa nezvakaberekwa zviri mairi.
“Vakaponeswa” zvinoreva kuti tinotanga kutwasudza hupenyu hwedu tichiedza kurarama muhutsvene.
Chero takaponeswa, tichiri takananga munguva yeKutambudzika kukuru.
Vazhinji vasingatendi nevasiri maKristu vanotoraramawo hupenyu hwakachena hwakadzikama. Hunhu hwakanaka hachisi chinhu chine maKristu chete.
Kuzvibata uye kurarama zvakachena zvinotarisirwa kumunhu wese.
Saka nhanho yekutanga pakurarama nezvatakatemerwa kuziva kuti vanhu vakaponeswa vanoenda kudenga. Asi kune nguva yeKutambudzika inofanira kudzivirirwa kuti tisapinde mairi.
Panyaya yenguva yeKutambudzika kukuru ndipo makereke anoita kukanganisa kukuru.
Vanofunga kuti kana waponeswa unenge wakatotemerwa kupunyuka kare nguva yeKutambudzika.
MATEO 10:22 Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu: asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.
Uku hakusi kuponeswa kubva kugehena. Izvi zvakaitika pamakatendeuka.
MaKristu akashingirira mukurwadziswa nekuda kwekutevera Magwaro, vachaponeswa kubva kunguva yeKutambudzika kukuru.
Makereke havanyatsonzwisisi zvakazara mufananidzo wevasikana gumi vakangwara nemapenzi.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Vasikana imhandara dzakachena. Saka tiri kutarisana nemaKristu akaponeswa. Asi vasikana vakaponeswa vakapusa havana kuzokwanisa kuenda kumuchato neGwaiana.
Mukova wakapfigwa, vakaguma vamunguva yeKutambudzika.
Vakatemerwa kuti vaponeswe, asi kwete kuti ave Mwenga weGwaiana.
Saka kune imwe nzira zvakare yakatemerwa vasikana vakangwara, ndiyo inogumira kumuchato weGwaiana.
Panzira iyoyo tinoponeswa meso edu ozarurwa kuti tione zvakavanzika zveBhaibheri kuitira kuti tigokwira kudenga kunosangana nashe kumakore.
Makereke haazivi chinhu ichi chezvatakatemerwa.
Kuita kwechokwadi chaiko kwekusarudza kwedu kwatinogona kuita kuzvipira kupa kuda kwesarudzo dzedu kuna Jesu.
Ndicho chinhu chega chinogona kupihwa nechero munhu kuna Jesu chaanga asina.
Mari nenguva zvatinoisa pabasa rake kumudzosera zvishoma zvezvizhinji zvaakatipa.
Kana ndikamupa hupenyu hwangu, ndinenge ndichingodzorera kwaari zvaakandipa pakuberekwa kwangu.
Asi simba rangu rekuzvisarudzira. Chinhu chakasarudzika kwandiri.
Ndicho chega chinhu chandinacho chinonzi changu. Chipo changu chimwechete chinoverengeka kwaari.
Vazivi vekumabvazuva vakamupa zvipo zvairatidza kuti vaifungira kuti aive ani.
Ndarama yaireva kuti Jesu aive Mwari panyama,
Zvinonhuwira zvinoita kuti nyama yakatsva ive chipo chinotambirika nekuti zvinoburitsa mweya unonhuwira zvakanaka.
Saka Jesu akauya kuzoita chipiriso chinotambirika.
Mura yaishandiswa kuzodza vakafa. Jesu akauya kuzotifira zvivi zvedu.
Kuda kwako kwakakura sei kwaunomupa kunoratidza kuti unomuvimba nehupenyu hwako zvakadii.
Kana uchivimba muna Jesu zvishoma, unogara nekuda kwako kuitira kuti utonge hupenyu hwako.
Kana uchivimba maari zvakazara, unopa simba rako rese rekuzvisarudzira kwaari.
Vakawanda vanoenda kumakereke vakatendeuka uye vari pachidanho chekurarama hupenyu hwechiKristu hwakanaka, zvinova zvinoitwa nemaKristu mazhinji mumakereke avo.
Makore ese avakaita mumakereke anoramba ari padanho rakangomira panzvimbo imwechete apo vanodzidza zvakawanda pamusoro pezvinhu zvavagara vachiziva kare.
Vanonzwa vakachengetedzeka kana vachitevera zvikamu zveBhaibheri zvakasarudzika.
Zvimwe zvikamu zvese zveBhaibheri zvinosara zvisina anozviverenga kana kutorega kutsvagwa zvachose. Zvikamu izvozvo kazhinji ndidzo nzira dzinogadzira nzira yekunotorwa kunokwira kudenga kunosangana naShe.
Hazvisi zvatinoziva zvinotariswa asi rudo rwunenge ruchipisa matiri kuda kuziva zvakawanda.
Mwenga anoramba kutenda kuti pane chiri muBhaibheri chisina kukosha.
Vanhu vekuRussia vaishandisa mapenzura emuti pavaienda kudenga nezvitundumutsere mutsere nekuti mabhiro anoshandisa simba remhepo nesimba rekudhonzera kwenyika kuti zvishande. MaRussia vaida nzira yakachipa yakareruka.
VekuAmerica vaida nzira yakasimba saka vakagadzira chinyoreso chesimbi chine gasi rakamanikidzwa machiri kuti risairire ingi kana chiri muchadenga. Vakatsvinyirwa kunzi mapenzi nekuti penzura yakachipa. Amstrong, munhu wekutanga kuenda kumwedzi, paakadarika Luna akanomisa roketi rake akapfeka mbatya dzake dzeikoko, shangu yake yakatsika revha raive rakakoshera kuzomutsa roketi raizovatora kubva kumwedzi. Vaive vapererwa. Revha iri raive risingagoni kutakura huremu. Saka akaisa chinyoreso chesimbi chiya panzvimbo cherevha riya zvakaponesa hupenyu hwavo. Penzura yemuti ingadai yakatyoka nekuti zvaida simba rakanyanya kuti revha iroro risimuke.
Vesainzi dzemaroketi vanokoshesa kuti vasasiirire kuongorora chero tunhu tuduku. Chero kanhu kaduku duku kanokwanisa kukutorera hupenyu hwako. Ongororai zvinhu zvese. Hakuna aiziva matambudziko asina kutarisirwa akawira vanhu chero nguva.
Kutinhira kunomwe kusingazivikanwe kusina kunyorwa kuchava chishamiso chakazara kwatiri tese.
Mhere-mhere pakati pehusiku kuchava chimwe chishamiso chisina kutarisirwa kune dzimwe nguva dzichatevera. Pakati peusiku chidimbu chenguva, kana chiitiko munguva.
Zvinhu zvamunosiirira kana kutarisira pasi munguva dzakanaka zvinozokuparirai munguva dzedambudziko.
Muri ani kutaura kuti chinhu chakanyorwa muBhaibheri hachina kukosha?
Mwenga waJesu anoita zvinhu zvake akangwarira kwazvo kuti asatombosiirire kana kutarisira pasi chero chinhu chiri muBhaibheri.
Mwenga anokoshesa zvakanyanya zvinhu zvese nezvese zvakaiswa parokwe rake remuchato paanenge achigadzirira.
Mwenga haafi akataura kuti mune Gwaro risina kukosha. Anogaroda kuziva zvakawanda nezveBhaibheri.
Vatungamiriri vemakereke vanoda kwazvo kutonga vanhu kuti vatungamiri vavatungamirire. Vanoudza vanhu kuti vafuratire Magwaro asinganzwisiswi nemutungamiri. Nenzira iyoyo vatungamiri vanogara vari pakutonga.
Jesu anoda kuti ndizvipire kuramba simba rangu rekuita kuda kwangu ndoripa kwaari, kwete kukereke. Asi ndinofanira kuita izvi zvichibva pakusarudza kwangu, kwete nekuti ndamanikidzwa. Asi nekuti ndiri kuda kuita izvozvo. Asi makereke anoisa tsika dzawo nezvitendero zvawo pavanhu kuti aite kuti vanhu vese vatende chinhu chimwechete saka nenzira iyoyo vanopikisa kuita uku vanotsikirirwa kana kusvorwa.
Aya ndiwo magumo ekuita kwekereke. Vanhu vanoponeswa vorarama muhutsvene vonzwa vakachengetedzeka pavanenge vazadzisa nekubvumirana nezvitendero zvemakereke avo.
Taurai nevanoenda kumakereke. Vanogutsikana zvakazara kana vachifunga kuti vane hukama hwakanaka naShe Jesu. Tsvagurudzo yavo inenge yaguma.
Vanonzwa kunge sezvo vakaponeswa vachirarama hupenyu hwakanaka, vachangokwanisa Kukwira kudenga mukubwaira kweziso, pazvichaitika ipapo.
Vabvunzei mubvunzo wakadzama pamusoro peBhaibheri unoda kufunga vanobva vanzvenga nzvenga.
Vanotora nyaya yemuBhaibheri iyi seisina kukosha kana kuti isina maturo.
Vanofara kusiya maChaputa mashoma ekutanga ebhuku raGenesisi vachiti manyepo kana kuti ingano.
Vanofara kubvuma kuti kune Magwaro anorwisana uye kuti mune zvakakanganiswa muBhaibheri.
Vanofara kuramba Bhaibheri reKing James Vhezheni vachida mamwe maviri kana kudarika emavhezheni zana ariko emaBhaibheri eChirungu.
Vanotsiva Magwaro netsananguro dzesainzi dzinodaidzwa kuti Big Bang uye Shanduko yevanhu vachibva mumhuka inonzi Ivhorusheni.
Vanogona kuramba chiprofita chemuprofita wenguva yekupedzisira kana kuti vanomugamuchira votsiva Magwaro nezvavakabata paaitaura zvavanodaidza kuti Izwi raMwari.
Vanoshandisa kutaura kusimo muMagwaro kwakafanana nekweTiriniti, 25 Zvita, nemasangano.
Kana vakagamuchira muprofita vanobva vashandura zvaakataura:
“Kutinhira kunomwe kusina kunyorwa kunotsanangurwa muzvikamu zvezvinhu zvinomwe zvakanyorwa muMagwaro”. (Tarisai kusapindirana kwezvinhu izvi).
Havagoni kuona musiyano pakati pezvinhu zvakanyorwa nezvinhu zvisina kunyorwa. Urwo rudzi rwehupofu. Havagoni kuona kuti kune mutsetse wemuganhu pakati pezvakanyorwa nezvisina kunyorwa.
Kumwe kukanganisa kukuru nevanoparidza Mharidzo kukanganisika pakati pezaruriro yechiitiko nechiitiko chacho.
Hama Branham vakauya kuzotipa zaruriro yeZvisimbiso zvinomwe.
Izvi zviri pachena pabhuku ravo reZvisimbiso zvinomwe.
Vanoparidza Mharidzo vanoti akatozarura Zvisimbiso zvinomwe.
Asi Zvisimbiso zvinozarurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6. kuna Zvakazarurwa Chitsauko 4 Mwenga anotorwa kukwira Kudenga pakupera kwenguva nomwe dzemakereke. Johane anoenda semumiririri weMwenga.
MuChitsauko 5 Mwenga anopemberera pachigaro chovushe achibva mumarudzi ose.
Muchitsauko 6, pamunenge mamira makakomberedza chigaro chovushe, mumashure mekukwira kudenga, munoona Jesu achizarura Zvisimbiso zvakazara pasina chinosara.
Hama Branham vakazivisa zvakazara zvatichaona mumashure mekukwira kudenga mukubwaira kweziso.
Tichitenda kuti zaruriro yekuzarurwa kweZvisimbiso zvinomwe ndiko kuzarurwa kwezvisimbiso zvinotiita vasikana mapenzi.
AMOSI 3:7 Zvirokwazvo, Ishe JEHOVA haangaiti chinhu, asina-kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.
Chimwe chinhu chisati chaitika, chinofanira kuziviswa.
Tarirai zvinotendwa nevanhu vanozviti veMharidzo (Message) pamusoro peGore guru rakaonekwa muna 1963.
“Gore, rakaonekwa kwechinguvana madeukazuva kwemaminetsi 28 mumashure mekudoka kwezuva, rakatorwa mifananidzo kumusoro kweguta reFlagstaff muArizona musi wa 28 Kukadzi 1963. Rakaitwa nevatumwa vaviri pavakabva kunehama Branham.
Zvisinei, vatumwa vakauya kwaari mangwanani emusi wa 8 Kurume 1963 paSunset Peak mamaira mazana maviri kubva kuFlagstaff. Iye pachake haana chaaiziva pamusoro peGore kusvikira patopera mwedzi yakati kuti.”
Munogona here kuona chero kurwisana kwezviitiko apa? Vanotevera Mharidzo havagoni kutaura musiyano pakati pemisi miviri yakasiyana nemazuva masere nenzvimbo mbiri dzakasiyana nemamaira mazana maviri. Ndihwo hupofu husingabvunzwe.
William Branham akati Gore iri raive chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga.
65-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI
Zvino mukuita kukuru uku, kuti nyika ishaiwe, vachiri kuzvishaya kuti chii chakaitika. KuTuson, ivo vaiona chiitiko chikuru ichi vakatora mifananidzo yacho ikoko; vachiri kushaya kuti chii chakaitika. Chimbori chii? Vachiri kuisa mumapepa, “Kune munhu here anoziva nezvazvo, uye kuti zvakaitika sei?” Hakuna makuti uko, hakuna mhepo, hakuna hunyoro; mamaira makumi matatu kudenga. Oh, maiwe zvangu! Kuchava nezviratidzo kudenga. Kana zvinhu izvi zvoitika, kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana, ipapo kuchaonekwa chiratidzo kudenga, cheMwanakomana wemunhu.”
MATEO 24:30 Ipapo chiratidzo chomwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga;
Vaimutevera vakati kwaive kuuya panyika kweMutumwa Mukuru wekunaZvakazarurwa 10, kunyange zvazvo gore rakaramba riri mudenga chinhambwe chemamaira 42 risingadziki kubva ipapo. Dai Gore iri raive Mutumwa aiuya pasi, kwaive kusina munhu paFlagstaff aive pamweya zvakakwanira kuti riuyire.
Hama Branham vaive muTucson, mamaira anodarika mazana maviri kuzasi kwepakauyira Gore.
Tarirai kurasika uku.
Vakaramba vachizanganisa zvaaitaura zvekuti zvakatanga kurwisa zvaaitaura.
Paakarasika panyaya iyi paakataura kuti aive pasi peGore, vaimutevera vakangosiya zvakadaro. Haisi nzira yekuvaka zvitundumutsere-mutsere zvekukwira nazvo kudenga.
Kwaive nemakore maviri mudenga pamusoro penzvimbo yeFlagstaff. Chinhu ichocho chinogarofuratirwa nevanotenda kuMharidzo.
Kuona Gore rimwechete ipo paive nemaviri rudzi rwehupofu.
Chitundumutsere-mutsere chakaputika chikaita gore duku rechiutsi nekuti muprofita Joere akaprofita pamusoro peshongwe dzoudzi.
63-0707M KUPOMERWA
Zvichaitika sezvakarehwa nemuprofita Joere, Joere 2:38. Zvichazadziswa pazuva rekupedzisira ndizvo zvinotaura Mwari, Ndichadurura Mweya wangu panyama yose.”
Tererai muprofita amire apo. Mutarirei, haana kutya maari, akamira ipapo pavanhu ivavo achivaraira, achivatsiura. Akati, “Aya Magwaro! Izvi ndizvo zvakataurwa nemaprofita! Ndichadurura Mweya wangu pamusoro pevanorarama vose. Vanakomana nevanasikana venyu vachaprofita. Pamusoro pavaranda navashandiri ndichadurura Mweya wangu; uye ndicharatidza zvishamiso kudenga, napanyika; moto neshongwe ndovutsi, nemakuti.” Ndichizviratidza neShoko kuti raive Shoko.
JOERE 2:30 Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti, Ropa nomoto neshongwe dzovutsi.
Saka makore maviri aive pachinhambwe chemakiromita makumi mana nemaviri mudenga, akazadzisa magwaro maviri.
Johane Mubapatidzi akaita chitadzo chikuru nekukakavara kuti Jesu aive Messiasi. Vaviri vevadzidzi vaJohane Mubapatidzi vakadzokorora kutaura uku kuna Jesu. Jesu haana kumhura Johane. Vanhu, chero maprofita anokanganisa. Asi vadzidzi vaviri vaJohane ava havana kuzotaurwa nezvavo zvakare. Kufambisa mashoko asiwo hakuna chakanaka chakwakavaberekera, chero vaikwanisa kuti, “Muprofita akati ...”
Zvakakosha kutevera Magwaro sezvaari zvakazara.
Ndizvo zvinoita kutevera munhu.
Vanoenda kumakereke vanoti tinofanira kubapatidzwa muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene nokuti Jesu akataura izvozvo.
Asi Zita iri ndiyani? Hakuna vanotenda kuTiriniti vanoriziva nekuti Vanhu vatatu havagoni kuita zita rimwechete.
Saka vemakereke vanoti Petro akakanganisa paakati tinofanira kutendeuka tobapatidzwa muZita raJesu Kristu.
Saka vanoenda kumakereke vanopomera mupostora kuti akakanganisa kana kuti vakavaka dzidziso yeKutinhira kunomwe kusina kunyorwa kubva paMagwaro akanyorwa. MaPostora akasimbisa kuti tinofanira kuparidza Evangeri rakanyorwa. Hatipo pakutsvagana nezvisina kunyorwa.
Mativi ose vanoenda kumakereke havasati vadzorerwa pakutenda kwekereke yeTestamente Itsva.
Saka zvisinei nekuti takaponeswa tichirarama hupenyu hwakachena hutsvene, kereke iri munguva yakaoma nekuda kwezvainotenda mazviri.
Kana tikatarisa paMagwaro tinoona kuti tinoshaya mufananidzo kana chiprofita pamusoro penguva yekupedzisira chinotaura chinhu chakanaka pamusoro pekereke. Asi mune kuzvidzwa kuzhinji uye kutukwa kwekereke yenguva yekupedzisira muBhaibheri.
Saka tiri kurasika papi?
Kukanganisa kwaive kwekuti taitenda kuti patakaponeswa ndicho chaive chikamu chezvatakatemerwa kuti tizive naMwari kuti tigone kupinda denga, uye kuti taive tatova chikamu chemwenga wake takatemerwa kukwira kudenga mukubwaira kweziso. Asi hachisi chokwadi.
Makereke anokundikana kuziva kuti muzano raMwari rezvatakatemerwa mune mapoka maviri, vasikana mapenzi uye vasikana vakachenjera.
Kuponeswa kwakangogona kutiita chikamu chevasikana mapenzi. Izvi zvakanaka kwazvo kuti tinopinda denga.
Asi pane chinodiwa kuti tiitwe vasikana vakachenjera. Ndiwo mafuta. Mweya Mutsvene.
Ndiyo nyaya huru yacho. Chii chiri kuda kuitwa neMweya Mutsvene kwatiri?
Kuva nemafuta kwaive kusina kukwanira zvakare, sezvo vachibatidza mafuta ari mumwenje yavo kuti vave nechiedza.
Mafuta akakosha asi anoshanda chete kana achipa chiedza murima.
Uye chiedza hachina zvachinoshanda kunze kwekunge wachishandisa kutarisa kana kutsvaga chimwe chinhu nekuchiona kuti chii, zvekuti munogona kuzotaura kuti, “Ndaona”.
Kuvheneka nemwenje pasina chiripo hakuna zvakunobatsira, chero uri mwenje wakajeka sei.
Tinofanira kuvheneka nemwenje paShoko raMwari.
Tinoda Mwenje kuti tigone kuverenga Shoko raMwari tichinzwisisa toona zviri nani zvinotaurwa neMagwaro.
Ndicho chikonzero nei, pazvipenyu zvina zvinorarama zvakapoteredza chigaro chevushe zvinotsanangura Mwari achichengetedza kereke yake mumakore 2000, nguva yekupedzisira ndiro gondo rinobhururuka nemuono waro unopinza zvakadzama.
ZVAKAZARURWA 4:6 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro, napakati pechigaro chovushe pakanga panezvisikwa zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka.
Jesu akati kereke yekupedzisira inofanira kushingirira kuti itendevuke zvichireva kuti tinotenda nekuita zvakawanda zvakaipa.
ZVAKAZARURWA 3:18 Nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.
19 Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendevuke.
Akati tinofanira kuzodza meso edu nechizodzo chameso kuti tivone.
Tivone zvakavanzika zveMagwaro zvakavanzwa muBhaibheri mumicherechedzo nenzira dzakavanzika, tozvinzwisisa.
Vasikana mapenzi vanoona zvakavanzika zvizhinji muMagwaro voti, “ndinofanira kuziva zvakavanzika izvi here?”
Mwenga kana vasikana vakachenjera vanotarisa zvakavanzika zveMagwaro voti, “Ndinofanira kuziva zvakavanzika izvi.”
MaKristu ese akatarisana nemubvunzo wakakosha.
Tinoziva sei kuti tasangana nerubapatidzo rweMweya Mutsvene?
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose: nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura: vuye uchakuparidzirai zvinovuya.
14 Uchandikudza: nokuti uchatora pane zvangu, akakuparidziri izvo.
Mweya Mutsvene unofanira kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro kwatiri.
Achatitungamirira muzvokwadi yose.
Uchakudza Jesu, kwete muprofita wenguva yekupdzisira.
Hunhu huviri uhu hunosanganisa kushanduka kubva mukuva vasikana mapenzi muchipinda mukuva vasikana vakachenjera kana kuti Mwenga.
“Uchakuratidzai zvinhu zvichauya.”
Chinhu chimwechete chiri pachena. Vanoparidza Mharidzo vaiti Hillary aizokunda musarudzo dza 2016 dzemutungamiri weAmerica vaive vasina kufemerwa naMweya Mutsvene.
Mweya uchatiratidza kuti zaruriro dzakaparidzwa nehama Branham dzakavanzwa muBhaibheri. Uye kuti dzinokwanisa kuratidzwa neBhaibheri, pasina kushandisa zvakabatwa paaitaura zvisimo muBhaibheri.
ZVAKAZARURWA 18:1 Shure kwaizvozvo ndakavona umwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru, nyika ikavhenekerwa nokubwinya kwake.
2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Babironi guta guru, yava nzvimbo munogara mweya yakaipa, nemhare yomweya yose yetsvina, nemhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.
Mutumwa uyu kana nhume ndiye rudzi rwehama Branham ari mutumwa wechinomwe.
Shoko rine simba rinoraira kuita kwekereke yeRoman Catholic kwakatevedzerwa nevemasangano akabuda mairi.
ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro; mugorega kupiwa madambudziko aro.
“Rimwe inzwi”: Iri harisi kudzokorora zvakataurwa nemutumwa wechinomwe.
Iri izwi remukati rinobva kuMweya Mutsvene riri kutitungamirira muMagwaro. Zvatinoverenga muBhaibheri zvinotenderana nezvinotaurwa nemutumwa wenguva yekupedzisira.
Uku kutsiurwa kwemukati kwemunhu umwe nemumwe kunobva paMagwaro.
Hamuzvitendi nekuti hama Branham vakataura kudaro, munozvitenda nekuti Bhaibheri rakataura kudaro.
RUKA 18:8 … Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?
VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neShoko raMwari.
Kutenda kunobva muMagwaro.
Jesu haasi kuzowana kutenda kuzhinji muvanhu.
Saka vanoenda kumakereke vashoma ndivo vanogona kutsigira zvavanotenda neShoko rakanyorwa.
Jesu akakunda Satani nekutaura kuti, “Zvakanyorwa zvichinzi ...”
Pauro aida kuti tiparidze kubva kuShoko rakanyorwa.
II TIMOTIO 4:2 Paridzai Shoko;
Nhasi, nekugona kurarama hupenyu hwemaKristu hwakanaka, Mwari ari kutsvaga vanhu vaangatsanangurire zvakavanzika zveBhaibheri.
Mwari ane hurongwa hwakadzama, hurongwa hwakachenjera, uye ari kuda kuwana vanhu vanogona kufunga saye.
Vanhu vanoda hurongwa hwake nekufunga kwake.
Vanhu vanoda kuti Mwari avazivise zvakavanzika zveBhaibheri.
Hurongwa hwaMwari hwakachenjera hunofanira kuzviswa kuitira kuti tigadzirire kuuya kwake kwakavanzika.
Nhanho yekutanga mukuita kwedu kwechiKristu inosanganisa kuponeswa kunoitika muchiitiko chimwechete cheruponeso.
Nhanho inotevera inosanganisa kurarama muhutsvene chinova chinhu chinoramba chichiitika mumunhu umwe neumwe.
Kuita uku hakugumi.
Zvisinei mumakereke vanoona ruponeso nekurarama kutsvene zvakakwanira kuti vagokwira kudenga mukubwaira kweziso.
Kana maKristu akaponeswa vakangogara musi weSvondo wega wega mukereke yavanoda, vanofunga kuti vakakwanira kuti vagokwira kudenga mukubwaira kweziso. Vanofunga kuti Mwari anenge ari pamusoro pekereke yavo sechikopo-kopo achimaka kereke yavo kuti yaonekwa musi weSvondo yega yega.
Dambudziko rimwechete nderekuti hazviisi musiyano pakati pemakereke anodarika 45,000 akasiyaka anotenda zvakasiyana ariko.
Zvinosiya muono wekuti munokwanisa kutenda zvamunoda chero muchirarama semienzaniso yakanaka.
Nekuti vakaponeswa, vemakereke vanotenda kuti vakatemerwa kukwira kudenga mukubwaira kweziso zvisinei nekuti vari kutenda muchitendero chipi.
Asi apa kuita zvatinoda kunobva kwapindira sezvo ndakasununguka kusarudza chero dzidziso yandada kutenda mairi inondiitira.
Ndakapinda munzira yaMwari yandakatemerwa kupfurikidza kuramba kuda kwangu ndikakumbira Jesu kuti andiponese. Tinobva tazvifurira kuti mumashure maizvozvo tinokwanisa kutevera kuda kwedu zvakare, sezvo zvatinofanira kuita chete kuti tifadze Mwari kuenda kukereke yatinoda.
Vose vakatemerwa kukwira kudenga nekuti vakatendeuka vakakumbira Jesu kuti avaponese, vakaguma vava mumasangano 45,000 emakereke akasiyana siyana.
Hazvina kurudziro zvachose. Tinotenda kuti kune Muponesi mumwechete, Jesu Kristu. Asi kana tikangoponeswa tinozvinyengera kuti tinokwanisa kusarudza kuti nderipi sangano pakati pemasangano 45,000 ratinoda kutenda mariri.
Kana ndakafa kuzvivi zvangu, ndinenge ndisisina kuda kwangu kana simba rekuzvisarudzira.
Saka kana munhu angozadzwa neMweya vanofanira kungoita nzira imwechete yekutevera.
Jesu akati Ndini Nzira.
Mwari ane nzira yakatemwa inozivisa zvakavanzika zveMagwaro nekutarisa vhesi nevhesi muBhaibheri kusvikira chakavanzika chimwe nechimwe chaziviswa muMagwaro.
ISAYA 28:10 Nokuti zvinongoti chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, murairo pamusoro pemurairo, murairo pamusoro pemurairo; apa zvishoma napapo zvishoma.
Dzidziso imwe neimwe yakavanzwa muMagwaro pachishandiswa mavhesi akawanda anoyanana anowanikwa muBhaibheri kuti tiziviswe chokwadi.
Tinofanira kuramba kuda kwedu, mifungo yedu nemazano atingava nawo pamusoro peMagwaro. Zaruriro imwe neimwe yezvakavanzika yatinodzidza kubva pane zvakataurwa nehama Branham, kana kuti kubva kune chero dzidziso, zvinofanira kurondwa zvichiwanikwa muBhaibheri kusvikira tagona kuzivisa dzidziso iyoyo ichibva muBhaibheri.
Vaya vanogona kuronda zvitendero zvavo muBhaibheri vanenge vari mugwara ravakatemerwa rinotungamirira vanhu kuti vasvike pakukwira kudenga mukubwaira kweziso.
Takatemerwa kupunyuka nguva yeKutambudzika kukuru kana tikadzokera kudzidziso nezvitendero zveTestamente Itsva zvekereke yevapostora.
Mwari akafananidza kereke nembeu yakadyarwa.
MARKO 4:26 ZVino wakati: Vushe bwaMwari bwakafanana nomunhu unodzvara mbeu muvu,
27 Akavata, akamuka, vusiku namasikati; mbeu inomera, ichikura, iye asingazivi kuti zvinoitika sei;
28 Ivu rinongobereka haro, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
Mbeu inotangira pambeu. Inokura muzvikamu zvakasiyana-siyana. Asi panguva yekukohwa inoburitsa mbeu yakafanana neyakadyarwa pakutanga.
Kukura kwembeu kwakatemwa kare.
Makasununguka kudyara chero mbeu yamada. Asi kana mbeu yadyarwa hamuna chekutaura pamusoro pekuti inokura sei uye kuti ichavei.
Takasununguka kugamuchira Ishe nekumupa simba pamusoro pehupenyu hwedu. Asi kana taita izvozvo hatisisina simba pamusoro penzira yeBhaibheri yatakatemerwa yaachatifambisa.
Kana yadyarwa mbeu inopinda muzvikamu zvakasiyana siyana semuti pamagumo ayo haina sarudzo. Muti unofanira kubereka mbeu yakafanana nembeu yakadyarwa pakutanga.
Saka nzira imwechete yakatemerwa kubereka Mwenga isina chekuita nesarudzo dzangu ndeapo patinoguma takutenda zvakafanana nezvakatendwa nekereke yekutanga. Nenzira iyoyo Bhaibheri rinotiudza kuti totenda mune zvipi.
Kudyara zvinoreva kuti mbeu inowira muvhu.
Mamiriyoni akawanda emaKristu ekereke yekutanga akauraiwa nehushe hweRoma. Vaive mbeu dzakadyarwa mumakuva ekutanga. Zvino kereke yakavigwa mutsvina yeNguva yeRima. Mutsiridzo yakatanga naMartin Luther ndiyo yaive chipande kana mashizha akabuda. John Wesley nenguva yemamishinari akapeperetsa hurume hwehupenyu kutenderera munda (Pasi rese) huchienda kune mimwe miti. Pentekositi yaive hura hwairatidzika zvakanaka nesimba remweya asi husina chokwadi cheBhaibheri chenguva yekereke yekutanga. Zvino hura uhu hwakabva hwapatsanuka kuita masangano akasiyana siyana epentekositi akatangwa. Pakupedzisira mbeu yakavapo yakafanana nembeu yakadyarwa.
Saka nzira imwechete yatinogona nayo kuva mune zvatakatemerwa naMwari nhasi kuibva sembeu ine kutenda muBhaibheri kwaive nevekereke yekutanga.
Jesu akapa chingwa kuvadzidzi vakazochipa kuvanhu.
Tinofanira kuwana Chingwa chehupenyu kubva kuvadzidzi vakanyora Testamente Itsva. Vadzidzi vakava mapostora Pauro akatsiva Judasi.
Nekufanira kuva takafanana nekereke yekutanga, handina simba rekuita zvandinoda munyaya iyi.
Zvatakatemerwa zvichabereka kereke yenguva yekupedzisira yakangofanana nekereke yekutanga saka inenge isingateveri mifungo yevanhu vemazuva ano.
Zano raMwari rakatemwa rakafanana neRwizi rweHupenyu runoyerera muzviitiko zvenyika.
Kadziva kekuda kwangu kana kesimba rekuzvisarudzira kakaiswa mumaoko ake pandakaponeswa.
Ndipo paakandidzidzisa kurarama muhutsvene.
Zvino rubapatidzo rweMweya Mutsvene ndipo pandinoramba kuda kwangu kana simba rangu rekuzvisarudzira pamafungiro angu pamusoro peBhaibheri.
Ndinomutendera kukandira kadziva kesimba rangu rekuzvisarudzira muRwizi rweHupenyu runova Kuda kwaMwari.
Ndinobva ndatsvairwa nechero nzira inozarurwa negwara reBhaibheri apo Mweya unobatanidza mavhesi eBhaibheri kuti utiratidze patiri muzano raMwari.
Tese takasangana nekuedzwa mazuva achangodarika.
Mugadziriro dzesarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica muna 2016, Donald Trump, aive nehunhu hwakaipa, aida kuita Jerusarema guta guru reIsraeri.
Nzvimbo dzese dzaiti achakundikana musarudzo dzemuna 2016 nekuda kwemararamiro ake aaiita uye kushaiwa ruzivo munezvematongerwo enyika. Mararamiro ake akaipa aive chipingaidzo chakanyengera vanhu vazhinji. Chero Satani haana kumuona seachakunda.
Hillary nekodzero dzake dzechingochani, kubvisa mimba, uye kutya kutsamwisa maMosiremu kana akaita Jerusarema guta guru reIsraeri aitoonekwa seachakunda.
Asi kuzadzisa zvakaprofitwa pamusoro pemaJuda akapararira kuti adzoke kuJerusarema kwaive kwakakosha kwazvo mumazoso aMwari kudarika kukanganisa kwemunhu. Saka Trump akakunda. Jerusarema rakaitwa zvakare guta guru reIsraeri, zvaraive makore 2 000 akadarika. Munhu airarama zvakanakisa Obama haana kubvira aita hushingi hwekuedza kupikisa maMosiremu, kana kodzero dzengochani, kana kubvisa mimba.
Kubvisa mimba ingori nzira yemazuva ano yekuuraya vana yaiitwa nemapegani vachipira mwari wavo Moreki. Kana mwana aive nemisikanzwa kana kuti aisadiwa vaimukandira mumoto waMoreki kuti vaparadze dambudziko ravo, votoona vaita zvakanaka muchitendero kana vaita izvi.
Kana tikavhura meso edu tichaona muMagwaro kuti hurongwa hwakatemwa naMwari ndehwei. Kana tikagona kunzwisisa zvaari kuda kuita, tinotevera zano rake sekumuka kwarinoita chero kana akashandisa vanhu vatisingatarisiri.
Pamusoro pazvose, Mosesi aive muurayi akabatsira maJuda.
Vanoparidza Mharidzo vaive vakazadzwa nekuturikira kwavo zvavakabata paitaura hama Branham vachiti mukadzi akanaka ane hutsinye achatonga America. Saka vakafungira kuti Hillary ndiye aizokunda musarudzo. Hillary akanaka here?
Uku kwaive kuedzwa kukuru kwekuti kuturikira kwavo zvakataurwa kwaivei. Asi vanotenda kuMharidzo havana kutombodzidza nazvino kuti varonde zvavakabata zvichitaurwa muBhaibheri.
Zano raMwari rezvakatemwa pakukwira kudenga kwekereke mukubwaira kweziso richatevera gwara remavhesi eBhaibheri.
Asi Mwari anoda zvizoro zvemeso pamaziso edu kuti tizvionere.
Hatisi shiri dzemaparoti dzinongotevedzera zvakataurwa.
Tinofanira kurumbidza Ishe Jesu nekugona kuverenga nekunzwisisa Bhaibheri.
Kutenda kwedu kunofanira kuvakwa panheyo dzeShoko rakanyorwa.
Kana tikagona kuona nzira dziri muBhaibheri idzi kubva pazviitiko zvezuva ranhasi pazvinoitika, tozvifananidza nezvakanyorwa muMagwaro, tinege tane chokwadi chekuti tiri papi pagwara rezvakaprofitwa rakatemwa.
Ndicho chiratidzo chete chekuti takatemerwa kuva Mwenga waShe.
Tinogona here kunzwisisa Bhabheri? Kurarama sezvinotaurwa neBhaibheri? Nekubata gwara rezviitiko zvanhasi muBhaibheri?