Zvakazarurwa 5 panhau dzeKudenga tinofanira kufunga zvakadzama
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene runotipa ruzivo rwatinoda kuti tinzwisise Chokwadi cheBhaibheri. Mwari anoshandisa vatumwa kuti vatibatsire.
- Kunzwisisa zviitiko zveKudenga kunoda ndangariro dzakadzama
- Kune mapoka maviri eZvisimbiso asi boka rimwechete chete ndiro ratinogona kuziva
- Kutanga kuzivisa zvakavanzika zvese Kutinhira Kunomwe kusati kwareva
- Kutinhira kunomwe ndiko chakavanzika chikuru
- Ruoko rwaMwari rwerudyi ndirwo simba nekutonga Kwake
- Chinangwa cheKutinhira kunomwe
- Tangai kuzivisa zvakavanzika zvese. Kutinhira Kunomwe kozoreva
- Chakavanzika chaMwari ndisu tichidzorerwa kumapositora
- Hakuna munhu anogona kutiponesa
- Vanhu vaviri havagoni kugara pakati pechigaro chehushe
- Vatumwa vakawanda vasingaoneki vanotibatsira
- Mabvi ose achapfugama kuzviwisira kuna Jesu
Kunzwisisa zviitiko zveKudenga kunoda ndangariro dzakadzama
ISAYA 55:8 Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzisi nzira dzangu ndizvo zvinotaura JEHOVA.
ISAYA 55:9 Nokuti denga sezvarakakwirira kudarika nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kudarika nzira dzenyu, nendangariro dzangu kudarika ndangariro dzenyu.
Ndangariro dzevanhu hadzina kudzama hadzingazivisi zvinoreva zviitiko zveDenga.
Tinoda rubatsiro kubva Kudenga kana tichida kunzwisisa Bhaibheri reKing James Vhezheni.
ZVAKAZARURWA 5:1 Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
Izvi zvinoita sekuti “Mwari Baba” vagere pachigaro Chavo vakabata Bhuku (Bhaibheri) muruoko rwerudyi.
Asi kune matambudziko netsananguro idzi.
JOHANE 1:18 Hakuna munhu akatongoona Mwari;
Hamugoni kuona Mwari nekuti Mwari ndiMweya. Mweya hauoneki kumaziso enyama. Saka, Mwari haaoneki haana chimiro.
JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya:
JOHANE 5:37 Naivo Baba vakandituma ndivo vakandipupuriravo, hamuna kutongonzwa izwi ravo, kana mufananidzo wavo.
MaJuda muzuva raJesu havana kubvira vanzwa “izwi raMwari”.
Testamente Itsva haina kubvira yativimbisa Izwi raMwari.
Kudaidza hama Branham kuti Izwi raMwari hazvingorwisi Magwaro asi hazvitorimo muMagwaro.
“Kana kuona chimiro chake”.
Kana Mwari, Ari Mweya, asina chimiro zvinorevawo kuti haana ruoko rwerudyi rwenyama.
EKSODO 15:6 Rudyi rwenyu JEHOVA rwakakudzwa nesimba rarwo; Rudyi rwenyu JEHOVA rwunoputsanya vavengi.
Ruoko rwerudyi rwaMwari rwunongoreva simba Rake.
Ari Mweya, Mwari haana moyo. Moyo waMwari mucherechedzo werudo rwake kurudzi rwevanhu.
MATEO 26:64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.
Mwari ndiMweya. Mwari havana ruoko rwerudyi. Rudyi rwaMwari mucherechedzo wesimba ravo rinoshamisa.
RUKA 22:69 Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu achagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.
NUMERI 23:19 Mwari haasi munhu.
Jesu, ari munhu, haasi Mwari.
Ndicho chikonzero nei Bhaibheri risina kubvira rati “Mwari Mwanakomana”.
Chii chinoita kuti Jesu ave Mwari kuzara kwehuMwari kwakagara maari pamuviri. Imi muri zvese zviri mamuri.
“Tiriniti” izwi risimo muMagwaro rakakudzwa sehutachiona kuitwa chinhu chisimo muMagwaro chekuti “Mwari Mwanakomana” uye “Mwari Mumwe muvanhu vatatu.”
Mwari Mweya Mutsvene” hazvimo zvakare muMagwaro.
“Hwanakomana husingagumi” hazvimo muMagwaro.
“Mwanakomana akaenzana naBaba” hazvimo muMagwaro.
Jesu ari Mwanakomana haagoni kugara parutivi rwaMwari Baba.
ISAYA 44:6 Zvanzi naJEHOVA Mwari wavaIsraeri, nomudzikinuri wavo, JEHOVA weHondo: wokutanga nowokupedzisira; Kunze kwangu hakuna Mwari.
Nekuzvidaidza Wokutanga noWokupedzisira, Mwari ari kuzvigadza kuva iye ega Mwari. Hamugoni kuona umwe munhu angaite Mwari kunze Kwake kana parutivi Pake.
ISAYA 44:8 ... Kunomumwe Mwari kunze kwangu here? Zvirokwazvo hakuna rimwe dombo, ini handirizivi.
Jesu ndiMwari nekuti Kuzara kwehuMwari kunogara Maari Pamuviri.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara muna Kristu pamuviri.
VAHEBERU 1:3 iye ari kupenya kwekubwinya, nemufananidzo chaiwo wekuvapo kwake, uye achitakura zvinhu zvese neshoko resimba rake, wakati aita kubudikidza naiye pachake kunatswa kwezvivi zvedu, akagara pasi kuruoko rwerudyi rweuMambo huri kunzvimbo dzekumusoro,
Jesu, ari Munhu, akazivisa hunhu hwese hweMweya waMwari unoshamisa wairarama maari usingaonekwi.
Mwari Baba asingaonekwi, anogara maari anoonekwa chete mukutaura nehunhu hweMwanakomana, Munhu Jesu. Asi Mwari anoramba ari mweya usingaonekwi. Saka, Munhu wesu anoita seanounza Mwari pachidanho chedu vanhu nekutiratidza kuti Mwari anozoita sei dai aive munhu.
JOHANE 1:18 Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe ega, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
Hunhu hwaJesu ari “Mwanakomana waMwari” (kwete “Mwari Mwanakomana”) hunoita sehunopfavisa simba remweya nehutsvene hwaBaba vanoshamisa vanogara Maari, vane mwenje wakajeka unopofomadza kudarika zvatingagone kurarama nazvo isu vanhu.
I TIMOTIO 6:16 iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni.
Kune mapoka maviri eZvisimbiso asi boka rimwechete chete ndiro ratinogona kuziva
ZVAKAZARURWA 5:1 bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
Tarisai koma.
Zvinoreva kuti zvakanyorwa mukati meBhuku zvakasimbiswa neZvisimbiso zvinomwe UYE zvakanyorwa kuseri kweBhuku (zvinoita sekuti zviri kuseri kwekavha reBhuku) zvakasimbiswawo nezvimwe Zvisimbiso zvinomwe.
“Kuseri” zvinoreva kuti hazvina kunyorwa mukati meBhaibheri asi zvakavanzwa mukati meBhuku neimwe nzira yakavanzika.
“Kuseri” zvinoreva nguva yezviitiko. Kutinhira kunomwe uku (Zvisimbiso zvinomwe zvisina kunyorwa) kunoreva mumashure mekunge zvakavanzika zvese zvakanyorwa muBhaibheri zvaziviswa nekunzwisiswa.
“Kuseri” zvinoreva kuti ndizvo zvinhu zvekupedzisira zvichaitika kuMwenga.
Munowana kuseri kwebhuku chete kana mapedza kuverenga zvakanyorwa mukati mebhuku.
Kune chirevo chakadzama chinomiririrwa nekuti “kuseri” zvinoyanana nezaruriro yezvakavanzika (muhuzhinji) zveBhaibheri.
Zvisimbiso zvinomwe zvisina kunyorwa (zvinozivikanwa nezita rekuti Kutinhira kunomwe) zvakaitika mushure mekunge zvakavanzika zvese (muhuzhini) zvaziviswa zvinogonesa nguva yekereke yekupedzisira kudzokera kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yaive nevanhu vaiziva kuti Jesu aive Mwari Samasimba. Kudzorerwa uku kwenguva yekupedzisira kumapositora ndiko chakavanzika (chimwechete) chaMwari chinofanira kutanga kuitika Zvisimbiso zvinomwe (zvinodaidzwa kuti kutinhira kunomwe) zvisati zvaitika.
Zvakavanzika zveMagwaro zvinoziviswa kuti zvitidzorere kuzvitendero zvemapostora. Kudzorerwa kwenguva yekupedzisira kunotenda zvakatendwa nekereke yenguva yekutanga ndicho chakavanzika chaMwari chakadzama.
JUDASI 1:3 ... zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
Mumashure meizvozvo chete ndimo munoreva Zvisimbiso zvinomwe zviri kuseri kwebhuku nenzira yakavanzika asi ichitevera Magwaro zviri Kutinhira kunomwe.
Kutinhira kunomwe hakugoni kureva kusvikira makukwanisa kutsangangura zvakavanzika zveMagwaro nenzira inokudzorerai kuzvirendero zvemapostora aiona Jesu chete seMusoro wekereke.
Hakuna pasita akamboiswa pakutonga kereke munguva yekereke yekutanga.
Muprofita-gondo wenguva yekupedzisira anotidzorera kunotenda muchokwadi cheBhaibheri cheShumba yerudzi rwaJuda chakatangwa nekereke yekutanga yemapostora.
Musiyano uri pakati pemapoka maviri eZvisimbiso aya ndewei?
Boka rimwe reZvisimbiso zvinomwe rinogona kuziviswa nemuprofita wenguva yekupedzisira kuvaHedeni apo Mwari anotumira vatumwa vanomwe kunomutungamirira kuti micherechedzo nenzira dzeZvisimbiso zvinomwe zvinorevei. Zaruriro idzi dzinofanira kurondwa muBhaibheri kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa pasina kurwisana kwechero Magwaro. Ndiko kuedzwa kunofanira kusangana nemaprofita enguva yekupedzisira. Nekuda kwaizvozvo, Zvakavanzika [muhuzhinji] zvaakazivisa zvichagonesa mwenga wenguva nomwe dzekupedzisira kudzorerwa kuzvitendero zvemadzibaba mapostora enguva yekereke yekutanga vakanyora Testamente Itsva.
Chakavanzika chaMwari (c himwechete) chinozivisa Jesu, saMwari Wem asimbaose, ndiye Musoro wekereke inova Muviri wake. Zaruriro yechokwadi weMuviri wake inoda kudzorerwa kwenguva yekereke yekupedzisira kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga kuti ipedzise chakavanzika chikuru (chimwechete) chaMwari.
Uku ndiko kuedzwa kweMwenga wenguva yekupedzisira. Vanofanira kunzwisisa zvakazara zvakavanzika zveMagwaro kuchava “kudanidzira” kwavo kwechakavanzika kuti vagone kunzwisisa nekuyanana neKutinhira kunomwe kwakavanzika pakunoreva. Kutinhira kunomwe kunoreva mumashure “mezwi” rerumuko ramutsa vatsvene vese vakafa kubva munguva nomwe dzemakereke.
Kana muviri wenyu ukashandurwa panoreva Kutinhira kunomwe munonzwisisa chokwadi chehushumiri hwehama Branham. Munozova chikamu chevasikana vane gumi vakachenjera vanonzwisisa Magwaro.
Kana muviri wenyu ukashandurwa zvinoreva, kana makaponeswa, munenge muri chikamu chevasikana mapenzi nekuti makanyengerwa nevatungamiri vemakereke enyu vasimo muMagwaro kana misoro yemakereke enyu. Kereke imwe neimwe mukereke yekutanga yaitungamirirwa neboka revakuru, kwete munhu mumwechete.
DANIERI 12:10 ... Asi vakachenjera ndivo vachanziwisisa.
Boka rechipiri rezvisimbiso zvinomwe harigoni kuziviswa nemuprofita wenguva yekupedzisira nekuti hazvina kunyorwa saka havana micherechedzo yaanogona kuturikira.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Kutinhira kunomwe kunoreva mazwi ako asingazivikanwe, Johane aive oda kunyora ... Johane aiziva kuti chaive chii, asi haana kuzvinyora, “nekuti akarambidzwa kuzvinyora.
Zvese izvozvo ndicho chakavanzika chikuru.
Hazvisi mumicherechedzo kana chero chimwe chinhu. Tinongoziva kuti kwakareva; ndizvozvo chete.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEMAGUMO HERE BABA
Zvisimbiso izvi zviri kuseri kweBhuku. “Panguva yekureva kweMutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvese zvakanyorwa muBhuku zvinopedziswa.”
Hama Branham vaifanira kuzivisa Zvakavanzika zvakanyorwa chete.
Hakuna anogona kuzivisa Kutinhira kunomwe kusina kunyorwa kana kutiudza zita idzva raJesu risina kunyorwa kana kuziva Chisimbiso chechinomwe chinozivisa Kuuya kwaShe.
ZVAKAZARURWA 19:12 Zvino meso ake akaita semurazvo wemoto; nepamusoro wake pane korona zhinji, ane zita rakanyorwa risina munhu wakariziva kunze kwake.
Hakuna anoziva zita idzva raJesu.
1965 NGUVA YEKEREKE YEFIRADEFIA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CPT .8
“Ndichanyora zita rangu idzva pamusoro wake.”
Zita rangu idzva. Zvese pazvinova zvitsva, anozvitorera zita idzva zita iroro richava zita remwenga zvakare.
Zita idzva iroro nderekutii, hakuna angada kufungidzira.
Zvinozova zaruriro yeMweya ichapihwa pakupedzisira chaipo zvekuti hakuna angazviramba. Asi hazvishamisi achasiira zaruriro iyoyo kuzuva raanoda kupa Zita iroro. Kufaranira kuzoziva kuti zvichadakadza kwazvo kudarika zvatingafungire.
Hama Branham havana kubvira vaita kana fungidziro yekuti zita idzva iroro raizova rekutii.
“Musafungidzire” zvinoreva kuti musaedze nesimba renyu kuziva kutsvaga zita iroro rinonzwika rakachenjera.
Vaparidzi vemharidzo vanogadzira mazita matsva akasiyana siyana akaita sekuti “Shoko”, “Hupenyu”, “Gondo Jena”, “William Marrion Branham”, “Ishe Branham Kristu”, nezvimwe zvakadaro, fungidziro dzisidzo idzi dzinongoita chete kuti vateveri vavo varambe vari pakati pevasikana mapenzi.
Kuedza kuziva chimwe chinhu ikozvino chisina kunyorwa muBhaibheri rwendo rwusina maturo nekwarwunoenda.
Kana vatsvene vakafa vamuka chete, ndipo pachatanga kuuya zviitiko zvenguva yekupedzisira zvichizadziswa.
Kana muchiri mumiviri izere zvivi munotoda Muponesi Jesu Kristu. Tichiri kufanira kutsungirira kuti titendeuke.
Kana miviri yedu yashandurwa tikapiwa miviri isina zvivi isingazofugi kuwora nekuona rufu ndipo Jesu achazivisa zita rake Idzva kwatiri. Hamuzodi kutendeuka.
Kutanga kuzivisa zvakavanzika zvese Kutinhira Kunomwe kusati kwareva
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA
Zvino, “Paachatanga kutaura, zvakavanzika zvichapedziswa.” Zvino, batai izvi, inenge yanguva yezwi reZvisimbiso Zvinomwe, zvekuna Zvakazarurwa 10, kuti zviziviswe. Muri kunzwisisa here? Kana zvakavanzika zvese zveBhuku zvaziviswa! Bhaibheri rinoti, pano, kuti achazvipedzisa.
... kana hondo dzavo duku dzese nezvinhu zvakasiiwa zvisina kupedziswa muShoko raMwari, mutumwa wechinomwe anouya ozvibatanidza ozvitsanangura. Mazviona?
Ipapo, anopedzisa, Kutinhira kunomwe kworeva.
... zvichibva muShoko raMwari, mutumwa wechinomwe anopedzisa,
Mharidzo yechinomwe ichapedziswa, Kutinhira kunomwe kwoitika.
... kuseri chete, apo Bhuku rapedziswa. Kwete hana kuti, “kumberi kweBhuku.” “Kuseri”, kana zvese zvaitika, zvapedziswa. Ipapo, Mazwi ekutinhira kunomwe ndiwo ega,anenge akanamirwa paBhuku, anenge asina kuziviswa. Hazvina kutombonyorwa muBhuku.
Oh, maiwe! Ndinoshuvira kuzviwana, kuti vanhu vagone... vasakundikane. Musambo, musambokundikane. Ndapota musakundikane, nguva ino. Ndiri kugadzirira kukusiyai. Musakundikane. Makamboteerera, teererai!
Zvisimbiso izvi zviri kuseri kweBhuku.
“Pamazuva ezwi remutumwa wechinomwe kana odo kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvese zvakanyorwa muBhuku zvichapedziswa.”
Pakarepo Bhuku, raive rakavhurwa mukati, rinozarirwa, “zvakavanzika zvaMwari zvinopedziswa.”
... “Mumazuva emutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvese zvakanyorwa mukati meBhuku zvinofanira kupedziswa.”
Muprofita wenguva yekupedzisira anofanira kuzivisa zvakavanzika zvakanyorwa muBhuku.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA
Mumazuva ezwi remutumwa wechinomwe,
Zvakavanzika zvaMwari zvese zvakanyorwa mukati zvichapedziswa.”
Zvinofanirwa kuitwa mumazuva iwayo. Ikozvino muri kuona zvandiri kureva here? Muri kundinzwisisa here? Ipapo inenge yanguva yemazwi manomwe ekuna Zvakazarurwa 10 kuti aziviswe.
Kana Bhuku rapedziswa, kunenge kwasara chinhu chimwechete, ndiwo mazwi manomwe akavanzika ekutinhira kwakanyorwa kuseri kweBhuku,
Kwakarambidzwa Johane kunyora.
... zviri kuseri, kana Bhuku rapedziswa.
... zvino, mune runyoro mukati meBhuku. Asi kuseri kune Zvisimbiso zvinomwe, kuseri kwaro, hazvina kunyorwa muBhuku. Zvino, uyu ndiye muzaruriri achitaura, iye Johane. Zvino, rangarirai, hazvina kunyorwa muBhuku. “Uye mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika izvi zvese zvakanyorwa mukati zvinofanira kupedziswa.” zvinofanira kuitwa, mazuva iwayo. Ikozvino munoona here zvandiri kureva? Muri kundinzwisisa here? Kune nguva yemazwi manomwe ekuna Zvakazarurwa 10 kuti aziviswe.
Kana Bhuku rapedziswa, kune chinhu chimwechete chinenge chasara, ndiwo mazwi manomwe akavanzika ekutinhira kwakanyorwa kuseri kweBhuku, Johane akarambidzwa kuzvinyora.
Kutinhira kunomwe ndiko chakavanzika chikuru
64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO. 4
MUBVUNZO: Kutinhira kunomwe kunoenderana nezvakavanzika zvinomwe kwakatoziviswa here? Zvakaziviswa muzvisimbiso zvinomwe here asi zvisati zvakuzivikanwa kwatiri seKutinhira?
Mhinduro: Kwete, zvakaziviswa muZvisimbiso zvinomwe.
Ndiro raive basa rekutinhira.
Hama Branham vanoti Kutinhira kunomwe kwakaziviswa muZvisimbiso zvinomwe.
Asi vakazivisei muZvisimbiso?
Muzvisimbiso zvinomwe vakazivisa Kutinhira kuti kwaive chakavanzika chakazara chisina aigona kuchinzwisisa.
Akangotiudza kuti Kutinhira kwaive pamusoro pei. Basa rako. Nezvakunouyira.
Havana kubvira vazivisa kuti Kutinhira kunomwe kwakatii kana kuti kwakataurei.
63-0324 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Chinoitika ndechekuti Kutinhira kunomwe ikoko kwaakanzwa kuchitinhira akarambidzwa kukunyora, chakavanzika chiri kuseri kwekutinhira kunomwe kunoreva kwakateedzana.
Zvino, Nei? Ngatizvitsigirei. Nei?
Ndicho chakavanzika chisina anochiziva.
Johane akarambidzwa kunyora nezvazvo, chero, chero kunyora mucherechedzo nezvazvo. Nei? Ichi ndicho chikonzero nei kwaive kusina chaiitika kudenga; zvaizotengesa chakavanzika. Mazviona here manje? Kana chakakura kwazvo chinofanira kusanganisirwa, nekuti chinofanira kuitika, asi kana kutinhira kunomwe ...
Zvino, tarirai, kana vatumwa vanomwe vakauya kuzoridza hwamanda dzavo, kwaive nekutinhira kumwechete. Israeri payaive yakaungana, kwaive nehwamanda. Nguva paichaguma, hwamanda yekupedzisira ... Kutinhira kumwechete, asi pano pane kutinhira kunomwe kwakateedzana: motsi, piri, tatu, ina shanu, tanhatu, nomwe, kuverenga kwakakwana. Kutinhira kunomwe kwakatevedzana, hakuna kureva... kwakangoita kamwe kepiri, ketatu, kechina, kwechishanu kechitanhatu kechinomwe. Asi Denga harina kuzvinyora. Nekuti paive pasina zvaiitika. Inguva yekuzorora. Kwaive kwakakura zvekuchengetedzwa sechakavanzika kubva kuzvose nevatumwa. Zvino, nei?
Dai Satani akaziva nezvazvo, angadai akakanganisa zano raMwari zvakazara.
Kune chinhu chimwechete chaasingazivi. Zvino anokwanisa kuturikira chero chinhu chaanoda, otevedzera chero rudzi rwechipo (ndovimba muri kudzidza.), asi haafaniri kuziva izvi. Hazvina kunyorwa muShoko. Zvakavanzika zvizere. Vatumwa, zvese zvakanyarara. Dai vakangofamba kamwechete zvingadai zvakazivisa chimwe chinhu, saka vakangonyarara, kunyarara kuzere; zvinhu zvese zvakamira A ...
Nomwe, chiverengo chaMwari chakarurama, Nomwe [hama Branham vanogogodza katanhatu papurupeti—Ed] pasi pemutsetse. Kutinhira kunomwe kunoreva pamwechete sekuti kuri kuperetera chimwe chinhu. Tarirai, panguva iyoyo, Johane akatanga kunyora, Iye akati, ‘Usazvinyore.”
Jesu haana kubvira ataura nezvazvo. Johane aisakwanisa kuzvinyora. Vatumwa havazvizivi.
Chimbori chii? Chinhu chakataurwa naJesu chero vatumwa vedenga havana chavaiziva nezvacho.
... chimwe chechakavanzika chacho (Chechinomwe) Chisimbiso, chikonzero nei chisina kuziviswa, chaive kutinhira kunomwe kunoreva mazwi ako, zvakarurama zvakadaro.
Nekuti hakuna chinoziva nezvazvo; hazvina kutombonyorwa.
... hakuna anogona kuziva kuuya kwake; vaisazoziva pamusoro pechakavanzika cheKutinhira kunomwe uku. Saka munoona, zvinoyanana. Ndiko kunzwisisa kwatiinako nezvako nhasi, nekuti zvimwe zvese zviri kubuda pachena, asi izvi hazvisi kuziviswa.
Asi ndigere mumba mangu, ndakanzwa izvi-
Kana kusazvinzwa, pachinzvimbo, asi kuzviona zvichiburitswa pachena kusvika paKutinhira kwechinomwe uku. Zvino, ndizvo zvega zvatinokwanisa kureva.
Hama Branham havana kubvira vanzwa Kutinhira Kunomwe muchiratidzo chavakaona pamusoro pako.
... Hakuna aiziva chero chinhu nezvazvo. Chero vatumwa havana kuzvinzwisisa. Mazviona, haana kuzvinzwisisa. Ndicho chikonzero, pasi pechakavanzika chedu chechinomwe, pakazarurwa chisimbiso chechinomwe, kwakaita runyararo. Jesu, paaive panyika, vaida kuziva kuti aizouya rini. Akati, “Hazvisi ... Chero iye Mwanakomana weMunhu pachake haazivi kuti zvichaitika rini.” Mazviona, Mwari akazvichengetera chakavanzika chake. Ndicho chakavanzika chikuru. Ndicho chikonzero nei kwakaita runyararo Kudenga kwehafu yenguva.
Kutinhira kunomwe kunoreva mazwi ako, Johane akarambidzwa kuzvinyora, mazviona, Kuuya kwaShe. Ndicho chinhu chimwechete chaasina kubvira azvivisa, kuti achauya sei, uye kuti achauya riini. Chinhu chakanaka kuti haana.
Ruoko rwaMwari rwerudyi ndirwo simba nekutonga Kwake
ZVAKAZARURWA 5:1 Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rwaiye wakange agere pachigaro cheushe bhuku rakanyorwa mukati nekunze, rakanamatidzwa nemicherechedzo minomwe.
Ndiye Musiki Muponesi wenyika.
Adamu paakatadza, akarasikirwa nenhaka yezvisikwa zvaaitonga ari mwanakomana waMwari. Mwari akatora nhaka yake yekutonga zvisikwa zvake sezvo iye ega ndiye anodzikinura zvisikwa zvake kubva kukuipa kwezvivi.
Satani mupambi. Anotonga nyika ino izere zvivi asi haana kubvira aita muridzi wayo. Mwari ane Zano remakore 6000 apo anodzikinura vanhu vake kubva kumusungo waSatani ogadza Mwenga wake kuti atonge kwemakore 1000 eRugare neKururama. Zano iri rinoziviswa kwatiri muBhaibheri reKing James Vhezheni rakaturikirwa nekuongororwa kwemakore anoda kusvika 160 risati rashambadzwa muna 1769.
Bhuku rakanyorwa mukati.
Mwari anoshandisa micherechedzo yakawanda nenzira muBhaibheri kuviga Zano rake kubva kuna Satani.
Mwari akazivisa zvinhu zvakawanda zveZano rake kuvanhu vake nguva dzakasiyana. Nhau dzakasiyana kubva muzvakavanzika zvaMwari (zvakawanda) zvakafanana nechivi chekutanga, nguva nomwe dzemakereke, Zita raMwari nekuti vanhu vatatu havagoni kuita zita rimwechete vachidaidzwa nguva imwechete, rubapatidzo rwemvura muzita raJesu, hakuna gehena risingaperi nekuti zvinozokonzera kuti vatadzi vaite hupenyu husingagumi, muprofita wekupedzisira kuvaHedeni, chikara chaivepo, hachichipo, chichazovapo (kutsiviwa kwemaPope, nekuti vanoti Petro ndiye Pope wavo wekutanga saka kwaive kwagara “kuina” Pope. Asi Pope anofa anenge “asisipo”. Pope mutsva anosarudzwa saka Pope “achazovapo” zvisinei nekuti umwe afa. MaPope anoita mutsetse mukurusa wevatongi vadzvanyiriri munyika dzekuMadokero.)
ZVAKAZARURWA 17:8 ... vachiona chikara chaivapo uye chisipo, kunyange chiripo.
Izvi zvinoratidzika semuzvezve wenyoka apo inomirira musoro wayo, Pope wekupedzisira asiri kuzosarudzwa neKanzuru yemaKadhinari sezvo achauya nekunyengera kukuru.
DANIERI 11:21 Panzvimbo yake kuchamuka munhu unoda kuzvidzwa,wakanga usina kupiwa kukudzwa kwevushe, asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora vushe nokubata kumeso.
Asi muprofita wekupedzisira kuvaHedeni munguva yechinomwe kana yekupedzisira yekereke anozivisa zvakavanzika zvaMwari.
Zvakavanzika izvi, kana zvikanzwisiswa, vanogonesa vatendi venguva yekupedzisira kudzokera kuzvitendero zvemapostora vakatanga kereke yeTesitamente Itsva. Vana venguva yekupedzisira vakagamuchira jesu saIshe Mwari Wamasimbaose Musoro wekereke vodzokera kudzidziso dzemadzibaba mapostora kunopedzisa Muviri waShe unova kereke. Ichi ndicho chakavanzika chaMwari (chimwechete) chakapesana nekereke yanhasi.
“Rakanyorwa mukati nekuseri” zvinoreva kuti rakanyorwa nzvimbo mbiri dzakasiyana.
Saka, kune mapoka maviri eZvisimbiso zvinomwe. Boka rimwechete rakanyorwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 rimwe boka harna kunyorwa. Ndiko kutinhira kunomwe kunotaurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10.
“Zvakanyorwa mukati” zvinhu zviri pachena. Ndizvo zvakavanzika zvaMwari zvakanyorwa muBhaibheri zvinofuratirwa mukereke kana zvavasinganzwisisa nekuti havagoni kunzvera zvakavanzika zveMagwaro nendangariro dzenyama. Vanofuratira kana kushandura dzidziso dzehama Branham akatiratidza kuti tonzwisisa sei Zvakavanzika izvi.
Mubvunzo unogarobvunzwa usingagoni kupindurwa nemakereke ndewekuti: Nei Mwari asina chaakataura chakanaka pamusoro pezuva rechipiri kuna Genesisi Chitsauko 1?
Kuna Genesisi 1, nei madekwana nemangwananiakaitwa Zuva rekutanga? Hapana kutaurwa husiku kana masikati.
Sei pakaita chiedza Zuva rekutanga kana Mwari vakazoita zuva Musi wechina?
Saka, munonyatsonzwisisa Bhaibheri here? Rangarirai, mibvunzo iyi yese iri kubva papeji 1.
Ndizvo zvimwe zvazvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri zvatinofanira kuziva nekunzwisisa kana tichidzidza dzidziso dzaWilliam Branham, muprofita wekupedzisira kuvaHedeni.
Chinangwa cheKutinhira kunomwe
Chinangwa chekutinhira kunomwe ndechei? Kuti kutipe Kutenda kwekukwira Kudenga.
Saka, Kutinhira kunomwe kunofanira kutiratidza kuti toshandurwa sei miviri yedu kupihwa miviri isingakure isingafuki kuwora kana kufa nekuti hatigoni kutorwa kukwira kudenga mumiviri yatiinayo.
Kushandurwa kwemiviri pakunoitika kuchava kuratidzirwa kukuru kwesimba rinoshamisa.
62- 1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA?
Handizivi. Yasvika here nguva? Chakavanzika chakapedziswa here? Kutinhira kwakapedziswa here? Ndiko Kutinhira kunomwe here, kuri kugadzirira kureva chimwe chinhu, kuti boka duku rakaungana pamwechete rigashire Kutenda kwekukwira Kudenga, kuti vakwire Kudenga paanouya? “Nekuti tichashandurwa,” nekukasika sekuuya kunoita vatumwa ivavo, “Pakarepo, mukubwaira kweziso; tichatorwa pamwechete neavo vakarara, kunosangana naShe kumakore.”
63 – 0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Zvino kunouya kutinhira kunomwe kwakavanzika kusina kana kunyorwa zvachose. Ndizvo chaizvo. Ndinotenda kuti kupfurikidza kutinhira kunomwe ikoko kuchaziviswa mazuva ekupedzisira kuti mwenga aunganidzwe apihwe kutenda kwekukwira Kudenga; nekuti kwatiinako nhasi, hatingagoni kuzviita. Tinofanira kufamba zvakare kuenda mberi; hatigoni kuita kutenda kwakakwana kuti tiponeswe neMweya Mutsvene. Tinofanira kuita kutenda kwakakwana kuti tishandurwe pakarepo totorwa kubva panyika ino, tozoona kuti mushure mechinguvana, Mwari achida, tichawana pazvakanyorwa.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA?
Zvapachena here? Papazarurwa Chisimbiso chekutanga, zvisimbiso zvaive mukati meBhuku, zvakavanzika izvi zvaireva: kururamisirwa, kunatswa, kereke yeRoman Catholic, Vemasangano! Kana hondo dzavo duku dzese nezvinhu zvasiya twunhu twusina kupedziswa twese muShoko raMwari, mutumwa wechinomwe anouya ovaunganidza otsanangura zvese. Mazviona? Ipapo, anopedzisa, Kutinhira kunomwe kworeva.
... kana chakavanzika chezvakavanzika zvaMwari zvapedziswa, ko kana kuriko zvakavanzika zvinomwe zvichiziviswa?
Kana muviri wenyu usina kushandurwa muchipiwa muviri usingafuki kuwora, usina ropa Kutinhi kunomwe kunenge kusati kwareva.
Chokwadi hachina kuziviswa hama Branham pavakapedza kuparidza. Nguva iyoyo vaiziva chokwadi asi Mwenga aisaziva. Chokwadi chichaziviswa chete kana Mwenga akuziva chokwadi.
65 -1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, panguva ino, ichava nguva yakaita seino pakuchave nekureva kwekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga nekudanidzira, nezwi reMutumwa Mukuru, nehwamanda yaMwari, Vakafa muna Kristu vachamuka.
Mumwedzi wekupedzisira wehupenyu hwavo, Hama Branham vaive vachiri vakamirira Kudanidzira.
Pavakazivisa zvakavanzika, kwaive kusiri kudanidzira. Kudanidzira kwemwenga kuchauya kana akuziva zvakavanzika zveMagwaro.
62 -1111 NEI NDICHIPIKISA CHIKRISTU CHAKARONGWA
Mumashure meMharidzo “Budai maari vanhu vangu!” “Mumashure mezvinhu izvi,” tarirai, “kune kudanidzira kweMwenga wevatsvene, neChikomba, vachienda kumuchato weGwaiana.
Simba reMweya unoshamisa reKutinhira kunomwe kunoshandura miviri yeMwenga anorarama ropinda kumaprofita maviri Mosesi naErija kuti vagone kutonga mamiriro ezvinhu panyika.
63 -0321 CHISIMBISO CHECHINA
Mirai kusvikira iko kutinhira kunomwe kwareva mazwi ako kuboka rinogona kutora Shoko raMwari voriisa apo. Richagura nekuchena. Vanogona kuzarira matenga; vanogona kupfiga ichi kana icho, chero chavada kuita. Ngaakudzwe.
Achaparadzwa neShoko rinomuda mumuromo make; rakapinza kudarika munondo unocheka nekwese. Vanogona kudana mazana emabhiriyoni ematani enhunzi kana vachida. Amen. Chero chavanotaura kuti chiitikike, nekuti ishoko raMwari rinenge richibva mumuromo maMwari. Ameni.
Mwari nguva dzese ... Ishoko rake, asi nguva dzese Anoshandisa munhu kuzviita. Mwari akagona kudaidza nhunzi kuti dziburukire paEgipita, asi akati “Mosesi, ibasa rako. Ndichangokuudza zvekuita, wozviita.” akaita izvozvo zvakazara.
Tangai kuzivisa zvakavanzika zvese. Kutinhira Kunomwe kozoreva
63 -0320 CHISIMBISO CHECHITATU
Akaenda mberi akati, mumazuva kutinhira kunomwe uku kusati kwareva, zvakavanzika zvese zvichaziviswa.
Hama Branham vakazivisa zvakavanzika zvese zvinodiwa kuti tive nekutenda kwekukwira Kudenga asi hakusanganisiri Kutinhira kunomwe kusina kunyorwa.
63 -0321 CHISIMBISO CHECHINA
Asi tinoona kuti mubhuku raZvakazarurwa kumharidzo yemutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari, zvakavanzika zvese, zvinofanira kuziviswa nenguva iyi (zvino ndiye Zvakazarurwa 10:1-7.), zvinofanira kuziviswa zvichibva panguva --- panguva iyoyo paanozviita.
Ipapo Kutinhira kunomwe kunoreva mazwi ako akavanzika, Johane aive akuda kunyora ... kwaive ... Johane aiziva kuti kwaive chii, asi haana kuzvinyora, ‘nekuti akarambidzwa kuzvinyora. Nekuti ndicho chakavanzika chikuru. Hachisi zvachose mumicherechedzo kana chimwe chinhu. Tinongoziva kuti kwakatinhira; ndizvo chete.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA
“Kuseri,” kana zvese zvapera, zvapedziswa. Ipapo mazwi eKutinhira kunomwe uku ndiwo ega, anenge akanamira paBhuku, asina kuziviswa. Hazvina kutonyorwa muBhuku.
63 – 0321 CHISIMBISO CHECHINA
Mumashure meZvisimbiso zvinomwe izvi zvapedziswa, tinoona kuna Zvakazarurwa 10 kuti kune Kutinhira kunomwe kwakavanzika kwakanzi Johane anyore asi akazorambidzwa kuti anyore. Panguva yekutinhira uku tinoona Kristu, kana Mutumwa achiburuka nemurarabungu, oisa gumbo panyika nemugugwa opika kuti nguva haizovipo zve inenge yapera.
Kana Kutinhira kunomwe kwakuratidza kuti munoshandurwa sei miviri yenyu kupihwa miviri yakarurama isingafe isingarware kana kuchembera, munobuda munguva. Kunenge kusisina nguva kana zvichitariswa pamusoro pevatsvene nekuti papinda muhupenyu husingagumi. Vamwe vese panyika vanosara vari munguva pavanopinda mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru.
63 -0321 CHISIMBISO CHECHINA
Asi tinoona kuti muBhuku raZvakazarurwa pamharidzo yemutumwa wechinomwe, zvakavanzika, zvakavanzika zvese, zvinofanira kuziviswa nenguva iyoyo (Zvino ndiyo Zvakazarurwa 10:1-7.), kuti zvinofanira kuziviswa zvichibva panguva – panguva iyoyo yaakazviita.
Ipapo kutinhira kunomwe kunoreva mazwi ako akavanzika, Johane aive akuda kunyora ... kwaive ... Johane aiziva kuti kwaive chii, asi haana kuzvinyora, ‘nekuti akarambidzwa kuzvinyora. Ndiko chakavanzika chikuru. Hachisi kana mumicherechedzo kana chii. Tinongoziva kuti kwakatinhira; ndizvo zvega.
63- 0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
... mharidzo ichatora twese takasaririra yozivisa chakavanzika chaMwari chese kukereke inenge ichikwira Kudenga.
Ipapo kunouya kutinhira kunomwe kwakavanzika kusina kana kunyorwa zvachose. Ndizvo chaizvo. Ndinotenda kuti kutinhira kunomwe uku kunoziviswa mumazuva ekupedzisira kuti Mwenga aunganidzwe kuti apihwe kutenda kwekukwira kudenga; nekuti kwatiinako nhasi, hatigoni kuzviita. Tinofanira kufamba nhanho kuenda mberi; hatigoni kuwana kutenda kwakakwana kwekuti tiporeswe neMweya Mutsvene. Tinofanira kuita kutenda kwakakwana kuti tishandurwe pakarepo totsvairwa kubva panyika, tinozoona kuti mushure mechinguva, Mwari achida, tinowana pazvakanyorwa.
63 -0623 KUMIRA PAMUPATA
Pamazuva ezwi remutumwa wechinomwe pakuparidza kwake, zvakavanzika zvaMwari zvese zvichaziviswa. Kunobva kwauya kutinhira kunomwe kwakavanzika.
NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA -BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO. 9
Zvino mharidzo ino yaMaraki 4 naZvakazarurwa 10:7 ichaita zvinhu zviviri.
Chekutanga: Zvichibva kuna Maraki achatendeutsira moyo yevana kumadzibaba. Chechipiri: achazivisa zvakavanzika zvekutinhira kunomwe kuna Zvakazarurwa 10 zvinova zaruriro dziri muzvisimbiso zvinomwe.
Zvisimbiso zvinomwe zvakaisa nhau zhinji dzinoda kutsanangura Kutinhira kunomwe.
Asi nguva imwe neimwe hama Branham vaitsanangura basa rako, zvakuchaita. Havana kubvira vataura zvaive mukati mako, kana kuti kwaive chii. Zvakaziviswa kuti zvaive chakavanzika chakazara asi zvichapa Mwenga Kutenda kwekukwira kudenga uye kuchapawo maprofita echiJuda maviri Mosesi naErija simba guru rinoshamisa.
NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO .9
Chichava chakavanzika chinoziviswa neMweya Mutsvene ichi zvisina kupokana chinotendeutsa moyo yevana kumadzibaba ePentekositi. Ndizvo chaizvo.
Tichasvika rini pakufanana nevatsvene venguva yekereke yekutanga?
Kwete ikozvino, nekuti vari mumiviri isina zvivi isu tiri mumiviri yenyama izere zvivi.
Asi Vatsvene veTestamente Itsva vachatanga kumutswa mumiviri isingafuki kuwora kana kufa. Kutinhira kunomwe kwotiratidza kuti toshandurwa sei kuti tipiwe miviri isingawori. Ndipo patinoshandurwa kuti tifanane nevatsvene veTestamente Itsva.
Chakavanzika chaMwari ndisu tichidzorerwa kumapositora
ZVAKAZARURWA 5:2 Zvino ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru; achiti: Ndiani wakafanira kuzarura bhuku nekusunungura micherechedzo yaro?
Mutumwa akasimba. Uyu haasi munhu achipa zvaanofunga pamusoro peMagwaro. Uku kutsvaga kwechokwadi, simba rinoshamisa. Ndiyani angaunze Mwari padanho redu ratiri? Ndiyani anganzwisise zvakavanzika zvaMwari zvakadzama.
Bhuku rinozivisa zano raMwari redzikinuro.
Saka, ndiyani angazadzise dzikunuro yedu? Ndiyani angatiponese kubva kuzvivi nekusaziva kwedu?
Ndiyani angatinatse kubva kuzvivi zvedu otiita kuti tigone kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveBhaibheri reKing James Vhezheni kuti timire tiri vatsvene muchiedza chikuru chehuvepo hwaMwari.
Ndiyani angape umwe neumwe wedu muono wakadzama weMagwaro watinoda kuti tinzwisise zvese zvakavanzika zvaMwari nechakavanzika chaMwari?
I VAKORINTE 4:1 Munhu ngaatirangarire sezvizvi, sevabati vaKristu, nevachengeti vezvakavanzika zvaMwari.
2 Uyezve, zvinotsvakwa pavachengeti, kuti ani nani awanikwe akatendeka.
Hakuna munhu anogona kutaura kuti anokwanisa kubata zvakavanzika zvaMwari kunze kwekunge akatendeka kuShoko raMwari.
Anofanira kutsanangura Gwaro rimwe nerimwe muzvikamu zveMagwaro, kwete achishandisa mifungo yevanhu.
Mudzidzisi weBhaibheri anokwanisa chete kudzidzisa achishandisa Bhaibheri kutsananguva dzidziso yake pasina vhesi reBhaibheri rinomurwisa.
Chakavanzika chaMwari ndechekuti nguva yekereke yechinomwe inofanira kudzokera kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yemapostora kuti nhorondo yemakore 2000 ipedziswe.
Kereke yakafa paKanzuru yeNicaea apo Tiriniti isimo muMagwaro yakamanikidzirwa pakereke muna AD 325. Ikavigwa mutsvina yeNguva yeRima. Ndiyani akagona kudzosa kereke kuti irarame zvakare munguva yeRumutsiridzo nenguva yemamishinari? Ndiyani anogona kudzorera zvipo zvePentekositi odzorera zvakare zvitendero zvekutanga zvemadzibaba mapostora?
61- 0108 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 3
Uye rangarirai muchiratidzo changu pandakaona Huvepo hwaMwari, kana vanhu Vake munyika iya yekubwinya, ndakatarira, ndikavaudza ... vakandiudza kuti aizotanga kunditonga neEvangeri randaiparidza. Ndikati, “Ndizvo chaizvo zvakaparidzwa naPauro!”
Mamiriyoni evanhu akadanidzira, “takazorora panaizvozvo!” Mazviona? Tarirai. Ikozvino, ndinoda kuti zvive sekudaro. Tiri kuzosangana ikoko rimwe zuva.
Vateveri vehama Branham vaive vakazorora pachinhu chekuti aive avadzorera kudzidziso dzemupostora Pauro.
Mbeu yakadyarwa pakutanga yaifanira kufa yozomera yodzorerwa kusvikira yafanana nembeu yakadyarwa nemapostora. Ipapo chete ndipo painokohwewa ichibviswa padavi painotorwa kukwira Kudenga mukukohwewa kwayo.
Ndicho chakavanzika chaMwari.
Hakuna munhu anogona kutiponesa
ZVAKAZARURWA 5:3 Asi kwakange kusina munhu kudenga kana panyika, kana pasi penyika, wakagona kuzarura bhuku, kana kuritarira.
Kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro hakugoni kuitwa nechero munhu. Kudzama kwemafungiro aMwari kwakadzama kwazvo zvekuti ndangariro dzemunhu hadzigoni kuzvinzwisisa.
MaPope anoti korona yemitumbi mitatu yakavaita madimambo edenga, nyika nepugatori. Asi kusagona kwavo kutsanangura zvakavanzika zveMagwaro kunovaita vakundikani. Vakauraya mamiriyoni evaivapikisa vakatungamirira mamiriyoni evateveri vavo kugehena nezvitendero zvavo zvisimo muMagwaro zvaibva pahurongwa hwekereke.
Tese hatigoni kuzviponesa, tinoda rubatsiro kubva kumusoro.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene runotigonesa kunzwisisa Magwaro.
JOHANI 16:13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake,
Mwari akashandisa vatumwa kubatsira Roti nevanasikana vake vaviri kupunyuka kubva muSodoma isati yapiswa nemoto.
Mwari akavimbisawo kutumira vatumwa vake pakupedzisira kutibatsira kuti tipunyuke kubva kumoto wekutongwa sezvakaitwa Roti.
GENESISI 19:1 Vatumwa vaviri vakasvika Sodoma madekwana; Roti wakanga agere pasuwo reSodoma.
RUKA 17:28 Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;
29 asi nemusi Roti waakabuda muSodhoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vese.
30 Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.
Munguva yekereke yekutanga, Johane Mubapatidzi akazivisa Jesu ari Munhu achifamba pakati pevanhu.
Munguva yekereke yekupedzisira, William Branham anozivisa Jesu Achifamba nemapeji eBhaibheri ari Mwari Wamasimbaose, nekuti Jesu Ndiye Shoko.
Tinoda rubatsiro rwevatumwa kuti tinzwisise zvinodiwa naMwari kwatiri nhasi, panguva yekupedzisira.
Mifananidzo minomwe kuna Mateo 13 inotsanangura nguva nomwe dzemakereke.
Mufananidzo wechinomwe kana wekupedzisira unotsanangura nguva yekereke yekupedzisira wotiudza kuti Mwari anoshandisa sei vatumwa kuparadzanisa vakarurama nevasakarurama.
MATEO 13:47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove.
Rutava mucherechedzo weintaneti. Mamwe mawebhisaiti anoshambadza chokwadi. Intaneti inoparidza pasi rese mugungwa remarudzi asina kugadzikana.
MATEO 13:48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.
Vanoda nekunzwisisa Bhaibheri reKing James kuti ndiro Chokwadi chikuru vachagona kuungana padandemutande reintaneti vachishandisa zvirongwa zvakaita seZoom.
MATEO 13:49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,
Nekukanganisa kwese kwemakereke kuri paintaneti, tinoda rubatsiro rwevatumwa kuti rutibatsire kumimina chokwadi torasa kuipa kusimo muMagwaro.
MATEO 13:50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
Dziva romoto ndiro moto wenguva yeKutambudzika kukuru apo Pope wekupedzisira anotonga nyika achishandisa mauto evadzvanyiriri gumi.
MATEO 13:51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
Tarirai pakupedzisira kuti Jesu akaisa kukosha mukunzwisisa zvinhu zvese zvinoyanana nenguva nomwe dzemakereke.
DANIERI 12:10 Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa,nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa’ hapana pakati pevakaipa achanzwisisa; asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
Vasikana vakachenjera chete vekuna Mateo 25 ndivo vachanzwisisa.
MATEO 25:1 Panguva iyo ushe hwekumatenga huchava hwakafananidzwa nevasikana gumi vakatora marambi avo vakabuda kunochingamidza muwani.
2 Zvino vashanu vavo vakange vakachenjera, uye vashanu vari mapenzi.
3 Avo vari mapenzi vakatora marambi avo, vakasatora mafuta pamwe navo.
4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemarambi avo.
Vasikana vakachenjera vane mafuta ekuti vanogona kutungidza mwenje. Mwenje uyu unoratidzira Shoko rakanyorwa kuti vagone kuverenga vachinzwisisa Bhaibheri reKing James.
Vasinganzwisisi Bhaibheri reKing James ndivo vasikana vakaponeswa asi vari mapenzi vakanyengerwa kupinda muzvitendero zvisimo muMagwaro nemapasita avo.
Zvimisikidzo zvemakereke avo zvakaipa nekuti hakuna muTestmente Itsva pakaiswa pasita pakutonga kereke ari musoro wekereke.
ZVAKAZARURWA 5:4 Zvino ini ndakachema zvikuru, nokuti hakuna kutongowanikwa wakafanira kuzarura nekuverenga bhuku, kana kuritarira
Nei pasina muprofita mukuru akagona kuvhura Bhuku? Nekuti muprofita umwe neumwe anobata chete zviitiko zvakaitika muhupenyu hwake. Kutonga Zano guru raMwari nekereke yake kunoda munhu kuti ararame kwemakore anoda kuita 2000. Izvi hazvigoneki.
Muponesi aifanira kuzvarwa nemhandara kuti ange asina kusvibiswa nechivi chekutanga chaka ziviswa naEva nekuunza hupenyu panyika nekusangana pabonde. Hupenyu husingagumi haugoni kuuya kupfurikidza bonde.
Munhu akarurama, asina zvivi aidiwa aikwanisa kupa hupenyu hwake hwakarurama sechibayiro chekuripira zvivi zvedu.
Asi kwaive kusina munhu akadaro.
Isu vanhu, tasiiwa tega, takakundikana zvakazara.
Vanhu havagoni kuzviponesa uye hatigoni zvachose kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro. Izvi zvinotisiya tiri mugomba rekupererwa.
ZVAKAZARURWA 5:5 Zvino umwe wevakuru wakati kwandiri: Usachema; tarira, yakunda Shumba inobva kurudzi rwaJuda, Mudzi waDavidi, kuti izarure bhuku nekusunungura micherechedzo yaro minomwe.
Kuchibva kwauya nhau inodakadza yeDzikinuro.
Jesu akakurira zvipingaidzo zvese nezvinorema zvese akakurira kutiwanira ruponeso chero zvazvo yaive nzira yairwadza. Davidi akauraya Goriyati aitambudza vanhu vese. Jesu paCalvari, akaparadza chinhu chikuru rufu rwaive rwauraya vanhu vose kunze kwaEnoki naErija.
Jesu akaita chimwe chinhu chisina akambochiita. Akamuka kuva mupenyu zvakare kuti atipe hupenyu Husingagumi.
Jesu akaita zvaisagoneka. Akafa seGwaiana rechipiriso akamuka ari Shumba, Mambo vakarurama.
Vanhu vaviri havagoni kugara pakati pechigaro chehushe
Pano, muvhesi rinotevera, ndimo vanotenda kutiriniti vanorasika. Zvinoita sevanhu vaviri asi kwete havasi.
ZVAKAZARURWA 5:6 Zvino ndakaona, uye tarira, pakati pechigaro cheushe nechezvisikwa zvipenyu zvina, nepakati pevakuru, Gwayana rimire serakabaiwa, rine nyanga nomwe nemeso manomwe, ndiyo Mweya minomwe yaMwari yakatumwa kunyika yese.
Gwaiana rakamira pakati pechegaro chehushe. Vanhu vaviri havagoni kugara pakati pechigaro chimwechete. Gwaiana ndiro rimwechete rakaonekwa naJohane pachigaro chehushe. Saka aive Jesu aive pachigaro.
Uku kuita kwemunhu. Kuratidzira hunhu hwaJesu ari Musiki neMuponesi. Musiki akabata Matsamba ekusika riri Bhuku asi Gwaiana rega ndiro rinogona kuponesa zvisikwa kubva kuKuwira pasi rozarura Bhuku.
ISAYA 43:1 Asi Zvino hanzi naJEHOVA wakakusika, Iwe Jakobo, wakakuvumba iwe Israeri, Usatya: nokuti ndakakudzikinura.
Jesu anotora Bhuku kuna Zvakazarurwa Chitsauko 5 kuti arizarure kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.
ZVAKAZARURWA 5:7 Zvino rakauya, rikatora bhuku kubva muruoko rwerudyi rwaiye wakagara pachigaro cheushe.
Gwaiana rinouya kuzotora Bhuku rakavharwa kuti ririvhure kuti rizivise kuti rakadzikunura sei zvisikwa zvaro.
Zvese izvi zviri kuitika mumashure meKutorwa kukwira kudenga mukubwaira kweziso.
Hama Branham vakasangana nezaruriro yezvichaitika munguva inouya, asi zviitiko chaizvo hazvisati zvaitika.
Zaruriro ndeapo pamunoona chimwe chinhu muchiratidzo chinhu chacho chisati chaitika.
Kana Gwaiana rakauya kuzotora Bhuku, iro Raive ratove pakati pechigaro chehushe, raive richibvepi?
Haraikwanisa kufamba munzvimbo sezvo raive ragara riri pakati pechigaro cheHushe.
Saka, raifanira kufamba munguva, richidzokera kumavambo kunotarira kuti zaro Rake redzikinuro raive rakarurama uye kuti kwaive kusina mweya yaaive asiirira.
Jesu anoongorora zvese. Haana chaanosiya kunze.
Chiitiko chekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 chinogadzirwa Kudenga nezviitiko zvekuna Zvakazarurwa Chitsauko 5.
Kuna Zvakazarurwa 6 chete ndiko kunovhurwa zvisimbiso.
Hama Branham vakaona Zvisimbiso zvinomwe munguva inotevera kupfurikidza zviratidzo zvevatumwa.
Saka havaigona kutiudza pamusoro pazvo nekunge vaona minongedzo yazvo yakaziviswa takukwanisa kugadzirira zvinhu zvikuru kana kuzarurwa chaiko kwauya mumashure mekutorwa kweMwenga kuti akwire Kudenga. Ipapo chete ndipo patinonzwisisa zvakazara kuipa kwese nezvinangwa zvakaipa zvaikurudzira nhorondo yekereke.
Kuna Zvakazarurwa 5 Mwenga akatorwa kukwira Kudenga akakomberedza Chigaro cheHushe.
Panyika, munguva iyoyo makore matatu nehafu eKutambudzika kukuru anenge achiitika.
Saka, Zvitsauko zvitatu zvinoti Zvakazarurwa 4, 5, ne6 zvinoitika Kudenga kwete panyika.
ZARURIRO YAJESU KRISTU – BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO, 1
Tarirai kuti zvichibva kuna Jesu, Iye pachake, Iye akanyora Zvakazarurwa, agere PAMWE naBaba. Mweya waive muna Pauro (Mweya unova Mweya waKristu, nekuti ndiwo Mweya weChiprofita apo Shoko rinouya) unoti Akagariswa pasi KURUOKO RWERUDYI rwaMwari. Asi Johane paakatarira akaona “MUMWECHETE” ari pachigaro chehushe
Izvi hazvina kuitika kusvikira kuna Zvakazarurwa 5:6-8 (inotevera Zvakazarurwa 4:2-3 muzvikamu zvenguva)
[Saka, Zvakazarurwa Chitsauko 5 inoitika mumashure meZvakazarurwa Chitsauko 4]
Kuti tinoona “Gwaiana” richitora bhuku kubva “KWAARI” agere pachigaro chehushe, zvakaratidzwa kuna Zvakazarurwa 4:2-3 ne 9-10. Chimbori chii? Chakavanzika chekuti “MWARI MUMWECHETE” . Iye (Jesu), akaubuda muna Mwari, akaratidzwa panyama, akafa akamuka zvakare akadzokera “pamaoko aBaba.” Apo Johane akati, “Mwanakomana wake Iye Mumwechete oga ARI pamaoko aBaba, aitaura iye.” Johane 1:18. Yaive yanguva yaMwari (Messiasi) yekudzoka kuzotora Mwenga wake nekuzviratidza (kuti azivikanwe) kuIsraeri. Saka tinoona Mwari zvakare achipinda kunoita hukama hwepanyama nemunhu ari “Mwanakomana waDavidi, Mambo wemadzimambo naShe wemaDzishe, Chikomba cheMwenga wemuHedeni.” Havasi vanaMwari “Vaviri”, asi MWARI MUMWECHETE achiraidzira mabasa ake makuru akawanda.
Pakupedzisira, Kudenga, Gwaiana rakasarudza kuzarura Zvisimbiso.
ZVAKAZARURWA 5:8 Zvino rakati ratora bhuku, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana vakawira pamberi peGwayana, umwe neumwe ane rudimbwa nendiro dzegoridhe dzizere nezvinonhuhwira inova minyengetero yevatsvene.
Jesu aive akurira kuwana kodzero dzekudzikinura Zvisikwa nekukurira Satani. Minamato yevanhu inonhuwirira mumhino dzaMwari.
Vakundi veTestamente Yekare nemapostora eTestamente Itsva vakangofanana nevanhu pasina pamberi paJesu. Vanowira pasi nezviso zvavo.
Minamato yakakosha kudarika zvatinofungidzira.
Muhuvepo hwaJesu, minamato yavo inonyorwa pachinzvimbo chemabasa avo.
Nekuti waive mweya waKristu waive mavari waiita mabasa akanaka, kwete ivo.
Chakavanzika chemunamato kutsvaga Kuda kwaMwari muhupenyu hwedu, kwete kuda kwedu. Kana tikashanda muKuda kwaMwari chete ndipo patinoita chinhu chinoonekwa kuhuMambo hwaMwari.
Semuenzaniso, Kuda kwaMwari nhasi ndekwekuti tinzwisise zvakavanzika zveMagwaro nekudaro tinodzorerwa kuzvitendero zvekereke yekutanga.
DANIERI 12:10 asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
Kutaura pamusoro pevasikana vakachenjera wekuna Mateo Chitsauko 25.
ZVAKAZARURWA 5:9 Zvino vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Makafanira kutora bhuku, nekuzarura micherechedzo yaro; nokuti makabaiwa, ndokutidzikunurira Mwari neropa renyu kubva kudzinza rese, nekururimi, nekuvanhu, nekurudzi,
Jesu ega ndiye aikwanisa kudzikinura.
Ropa rake chete ndiro risina zvivi rakarurama rinogona kutisuka tichichena.
Jesu ndiye ega mutungamiri wezvitendero akafa akamuka kuva mupenyu. Akatungamirira kereke kwemakore 2000 kuti ave nechokwadi chekuti azadzikisa basa rayo remuMagwaro muZano raMwari. Hakuna mumwe anokwanisa kuenzaniswa naye zvachose.
Mwari anoda vanhu vose akaponesa Mwenga wake kubva mumarudzi ese.
63- 0324 MIBVUNZO NEMHINDURO PAMUSORO PEZVISIMBISO
MUBVUNZO 23: Kuna Zvakazarurwa vhesi 5 kusvika 9 ndivanani vari kuonekwa vachiimba apo Gwaiana rinotora Bhuku.
Ndivo vatsvene vakatorwa kukwira kudenga here?
MHINDURO “Vakaimba rwiyo rwutsva,” ndakamira. Mazviona? Asi tarirai pano, “Rwiyo rwavakaimba, vachiti, makatidikinura kubva kuvanhu vose, ndimi dzese nemarudzi.”
Hongu ndivo.
Kubva kumarudzi ese nekuvanhu. Mwenga akadzikinurwa anouya kubva munguva nomwe dzemakereke.
ZVAKAZARURWA 5:10 makatiitawo kuna Mwari wedu tive madzimambo nevapristi, uye tichatonga panyika.
Kuenzana. Maprista ose akaenzana. Hakuna muprista ari pamusoro peumwe. MuPrista mukuru chete ndiye ari pamusoro pemaprista. Muprista wedu mukuru ndiJesu.
Hatifaniri kusimudzira munhu. Jesu ega ndiye akasimudzwa pamusoro pedu.
Ndicho chikonzero nei vese vachiwira pasi pamberi pake nekuti Iye ndiye Shoko raMwari. MaKristu ese anofanira kuzvininipisa nekuteerera Magwaro.
Madzimambo ane simba guru. Nhengo dzeMwenga umwe neumwe achatonga chikamu chake chenyika muMereniyamu. Hakuna munhu achavaudza zvekuita nekuti hakuna ari pamusoro pamambo. Hama nehanzvadzi mumhuri vese vanenge vakaenzana. MaKristu anodaidzana kuti “Hama” nekuti “Hanzvadzi” zvinoratidza zvakare kuenzana. Moto yemaKristu inofanira iri yekuti “handisi pamusoro pako uye handisi pasi pako, asi nguva dzose ndiri parutivi pako.”
Marudzi nevanhu vakazvimiririra vanorarama paAmagedhoni vanotongwa neMwenga muMereniyamu.
Vakuru vese vanowira pasi pamberi paJesu zvinoreva kuti muhuvepo hwake vese havana kukosha.
Kudenga inhau chete yekuti isu hatizvitutumadze kana tichienzaniswa naJesu. Saka, hakuna Mwenga anoedza kuzvisimudzira pamusoro peumwe. Kuzvikudza nekuzvikoshesa hakuna nhaka Kudenga.
Vatumwa vakawanda vasingaoneki vanotibatsira
ZVAKAZARURWA 5:11 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi revatumwa vazhinji vakakomberedza chigaro cheushe, nezvisikwa zvipenyu nevakuru; nekuwanda kwazvo kwakange kuri mazana nemazana emazana nemazana, nezvuru zvezvuru,
Kukosha pano hakusi pahuwandu hwevatumwa asi kukura kwehondo yedenga iripo. Hondo yedenga isingaverengeke inoshandira Mwari inotaura pamusoro pekukosha kukuru kwaMwari nekuti ndiye Wamasimbaose.
Saka, hatitye. Kune hondo huru yevatumwa vanorwa pachinzvimbo chekereke yechokwadi. Vanoita kuti Diaborosi nemadhimoni ake vagari vari mumiganhu kuti vasakukuvadzei kudarika panotenderwa naMwari.
Hondo huru iyi yevatumwa ndipo panorwiwa hondo chaiyo. Vakabatsira nhengo dzeMwenga kwemakore 2000 kudarika zvatinofungira. Vakakurira hondo dzedu vakatinunura pataiwira pasi vakatisimbisa pataive takaneta.
Vakazevezera chokwadi munzeve dzedu kuti tigone kunzwisisa hudzamu hweMagwaro.
Pamusoro pazvose, tichaona kuti zvataiita isu zvaive zvishoma kwazvo.
Vatumwa vanoshamisa ava ndivo vaive varwi vechokwadi vakaita kuti Satani nemadhimoni ake vangare mumiganhu. Hondo chaiyo inorwiwa munzvimbo dzeMweya.
Minamato yedu inomutsa rubatsiro kubva kuvatumwa vakasiyana siyana zvinotiita kuti tiwane kukunda kuzhini kudarika kurwa kwatinenge taita.
Saka, tinoda kunamata nguva dzese.
Munhuwi wakanaka unokwezva ndosaka vakadzi vachida kwazvo kuzora zvizoro zvinonhuwira. Minamato yedu tatendeuka ndizvo zvinonhuwira zvedu zvemweya zvinokwezva Mwari seshanduko yakanaka inonhuwirira mumhino dzake.
Asi vatumwa ava vese vanotaura nezwi rimwe. Vese vari pasi pekutonga kwaJesu. Ndicho chidzidzo chatinofanira kudzidza. Tinofanira kuzvipira kuda kwedu kuna Jesu totsiva zvichibva pakuda kwedu neKuda Kwake. Kana tiri pasi pekutonga kwake, kwete nekuti tinofanira kudaro asi tinoda kudaro, ndipo patinenge tiri pachokwadi chikamu cheMuviri wake, Kereke.
Muviri wekereke unofanira kuzvininipisa zvakazara kuMusoro, Kristu. Tinoziva Kristu ari Shoko raMwari.
VAEFESO 5:23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
Jesu ndiye Muponesi wemuviri unova Kereke.
VAKOROSE 1:18 Uye iye (Jesu) musoro wemuviri, wekereke;
Hakuna munhu anogona kuita musoro wekereke. Chinzvimbo ichocho ndechaJesu ega.
ZVAKAZARURWA 5:12 vachiti nenzwi guru: Rakafanira Gwayana rakabaiwa kugamuchira simba neufumi nenjere nemasimba nerukudzo nekubwinya nekurumbidzwa.
Izwi revatumwa zvinoreva kuti vose vanotenderana chinhu chimwe. Izwi ravo rinodanidzira rinoreva kuti havakakavari nekuti vanobatana pakurumbidza Jesu kwete kuzvirumbidza. Zvinhu zvose zvine maturo zvinobva kuna Jesu ega.
Nei Jesu ari Mukuru? Nekuti ndiye aive muenzaniso mukuru wemunhu akafa kukuda kwake kuti agone kushandira Kuda kwaMwari Anoshamisa airarama mukati make. Jesu haana chaaida kuti azviitire kana kuzviunganidzira iye pachake.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Nesuwo tinofanira kufa kukuda kwedu. Ndiko kuita kwechiKristu.
Mereniyamu ndiyo mubairo wedu. Hatifaniri kukanganiswa nezviri kuitika muhupenyu huno. Garai kure nezvematongerwo enyika nemakaro.
Kristu anotora simba pamusoro penyika nepfuma yese inodiwa kushandiswa muHushe hwekupedzisia hweRugare. Pfuma idzi dzichava pfuma dzemweya dzichapihwa nenzira dzinogutsa munhu wese nekuti kunenge kusina makaro, kuzvifungira kwemunhu mumwechete nehuwori.
Nyika inotongwa neruzivo shongwe dzayo isainzi netekinoroji.
Mereniyamu yemakore 1000 eRugare inotongwa nerudo shongwe dzayo dzinoitsigira dzichange dziri Kutenda nekururama.
Jesu achatonga nehuchenjeri hukuru aine simba remweya kuti aparadze kuita kwehumukiri nehubenzi. Kukudzwa kwake kunorumbidzwa nevanhu vake vakarurama vanotsvaga kumukudza nehupenyu hwavo nezvipo zvavo.
Chichatikurudzira kushandira Mwari rudo rwedu Kwaari neZano Rake nekutenda kwedu Kwaari.
Mabvi ose achapfugama kuzviwisira kuna Jesu
ZVAKAZARURWA 5:13 Nechisikwa chega-chega chiri kudenga, nepanyika, nepasi penyika, nezviri pagungwa nezvese zviri mazviri, ndakanzwa zvichiti: Kuna iye agere pamusoro pechigaro cheushe nekuGwayana ngakuve nekurumbidzwa, nerukudzo, nekubwinya, nesimba kusvikira rinhi narinhi.
Munhu wese, vese vakanaka nevakaipa, vachapfugama kuzviwisira kuna Jesu. Asi vakanaka chete ndivo vachapiwa mubairo.
“Pasi penyika” panenge paine vakafa vasina kuponeswa nenzvimbo yemadhimoni. Chero madhimoni anofanira kuzvininipisa kuna Jesu.
VAROMA 14:11 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari.
MARKO 16:15 Akati kwavari: Endai munyika yese muparidze evhangeri kuchisikwa chega-chega.
16 Uyo anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achapiwa mhosva.
“Chikara” chinogona kureva chero chinhu chinorarama kana kuti “chikara” chinogona kungoreva munhu kuna Marko 16:15. Mhuka hadzina moyo saka hadzina zvivi saka hadzikwanisi kupomerwa. Hatifaniri kuparidzira Evangeri kumhuka.
VAFIRIPI 2:10 kuti muzita raJesu ibvi rese rifugame, revekudenga nevepanyika, nevepasi penyika.
Vakaipa vanomanikidzwa kubvumirana neMakomborero ake, kukudzwa, kurumbidzwa, nesimba rake. Asi vosiya pfuma, huchenjeri nesimba.
Panyika vanosimbiswa nekusvibiswa kunouya nekuunganidza pfuma yavanoshandisa zvisiriizvo nekururamisirwa nehuchenjeri hwevanhu nendangariro dzekunyengera apo kuzvifungira nemakaro zvaionekwa sehunhu. Mari ndiyo yaive mwari wavo wemhuru yendarama. Vakaramba Bhaibheri dzvene reKing James Vhezheni seMukuru wavo vakariturikira kuriisa mumavhezheni anodarika zana eBhaibheri reChirungu. Izvi zvakasika dutu remweya remafungiro akasiyana siyana. Ndiko kushaiwa maturo kwehuchenjeri hwenyama apo vanenge vasina tsime guru rechokwadi, asi mafungiro avo akasiyana. Simba ravo raibva pasainzi netekinoroji nekusvibisa kwazvo uye huturu hwazvo, uye mari mubhanga nekusagoverwa kwayo kwakasiya vazhinji vari varombo. Ndizvo zvinovagonesa kuvaka marudzi avo nemasangano avo emakereke akaitwa nevanhu. Ipapo, kuzvichengetedza, marudzi anovimba nesimba remauto. Asi panozorova nguva yeKutambudzika kukuru sedutu risina kutarisirwa pfuma yavo, huchenjeri hwevanhu, nemasimba emarudzi nemakereke anotsvairwa zvisina tsitsi.
Pamutambo wemuchato Kudenga kuchave nevatumwa neMwenga, vasikana vakachenjera. Panyika, munguva yeKutambudzika kukuru, kuchave nevasina kuponeswa, maJuda, nevasikana mapenzi vakatsvairwa mugungwa risina kugadzikika remarudzi vaitsvaga kuwana kwavo muchimisikidzo chenyika chinotongwa nemakaro, huwori, nezvematongerwo enyika. Hapana kutaurwa pamusoro pehupfumi hwenyama, huchenjeri hwenyama, nesimba renyama richavarasisa zvakazara munguva yeKutambudzika. Vanosara panouya Jesu ndeavo vaishandisa pfuma yavo nenzira isingabatsiri Hushe hwaMwari. Vanotsigira makereke avo pachinzvimbo chekutsigira chokwadi cheBhaibheri. Kushaiwa zivo kwavo kwakavaona vachibatirira pakuita kwemakereke avo nehurongwa hwevanhu husingagoni kurarama mukuuraya kukuru kwaPope wekupedzisira nemauto evadzvanyiriri vake gumi.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nenyanga gumi dzawaona, ndiwo madzimambo gumi, asati agamuchira ushe, asi achagamuchira simba semadzimambo pamwe nechikara awa rimwe.
“Simba seramadzimambo”. Vane simba seremadzimambo asi vasina kugadzwa. Vadzvanyiriri.
ZVAKAZARURWA 17:13 Ava vane fungwa imwe, uye vanopa simba neutongi hwavo kuchikara.
Vanopa simba ravo rezvematongerwo enyika nehukuru hwavo kuna Pope, uyo nguva iyoyo achatonga mari yepasi rese.
Saka Pope wekupedzisira achatonga pasi rese.
Mweya unoshamisa waMwari Baba Musiki anogara muMunhu Jesu. Saka, Mweya usingaonekwe waMwari anoshamisa agere pachigaro cheHushe mukati maKristu Munhu. Ari Munhu Jesu ndiye Gwaiana raMwari rechibairo. Nekudaro, Jesu anoita zvisingagoneki. Ndiye Zvese Mwari neMunhu. Ndiyewo zvese Musiki neMudzikinuri. Hakuna munhu zvachose anogona kutora nzvimbo yake. Achatonga nekusingaperi nekuti ndiyewo Mambo, Shumba yaJuda.
Zvese zvinopfugama kwaari. Vatumwa nevatsvene Kudenga, vanhu panyika, madhimoni munyika dzepasi dzerima kune vasina kuponeswa.
ZVAKAZARURWA 5:14 Zvino zvisikwa zvipenyu zvina zvakati: Ameni. Nevakuru makumi maviri nevana vakawa, vakanamata iye anorarama kusvika rinhi narinhi.
Nhandare inoteyiwa mwenga ari Kudenga vamwe vese vachitarisana nekuipa kwechikara panyika munguva yeKutambudzika kukuru inovaka kusvika pahondo yeAmagedhoni. Zvisikwa zvipenyu zvina zvinoti “Ameni” apo zvinoita makore 2 000 enhorondo yekereke zvichiita kuti Mwenga wenguva imwe neimwe agadzirire kuenda kuMuchato Kudenga. Vanobvumirana zvakazara nenzira iri kufamba nezvinhu. Vakanaka vanowana muba iro wavo. Vakaipa vanowana murango wavo.
Vakuru gumi nevaviri vaive vanhu vakakura kwazvo kubva pakutanga kweTestamente Yekare yakatanga munongedzo wenguva yeTesitamente Itsva. Vamwe gumi nevaviri ndivo mapostora vakatanga kereke yeTestamente Itsva kuti izadzise Testamente Yekare. Testamente Yekare neTestamente Itsva zvinowirirana zvakanaka sezvo zvese zvichiwira pasi kunamata Jesu ari Shoko raMwari. Havatuki Shoko raMwari asi vanozviwisira zvakazara kuShoko. Vanozviwisira zvakazara kuBhaibheri reKing James apo Mwenga anofanira kuzviwisira zvakazara kuMurume wake.
Saka, Chitsauko 5 chinoona Mwenga akadzikinurwa kubva mumarudzi ose nevanhu vese amire akapoteredza chigaro chehushe Kudenga uko Gwaiana rinotora Bhuku risina anogona kurivhura. Hakuna anonzwisisa Bhaibheri zvakazara. Gwaiana rega ndiro rinogona kuzivisa zvakavanzika. Zvisimbiso Zvinomwe hazvisati zvazarurwa.