Zvakazarurwa 16 Kudururwa kweMitongo
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Mwari akatsamwa anodurura mutongo wake muzvikamu zvinomwe kuti atsive pasi rizere zvivi rinoramba Bhaibheri reKing James Vhezheni.
- Kodzero dzevanhu dzinotarisana neKururama kwaMwari
- Nyika yakasairirwa kure nepayaimbove ikaenda pedyo nezuva
- Rima rinorova Nyika
- Mweya mitatu ipfungwa yakaipa sezvo munhu mumwe nemumwe aine Mweya
- Kereke yeCatholic inotora nyika kunoisiya muAmagedhoni
- Evangeri rakabva kuMabvazuva rikaenda kuMadokero
Nguva yekereke yekutanga yakagadzwa nemapostora yaida chokwadi cheTestamente Itsva. Mumashure maizvozvo kereke imwe neimwe yakatevera yakaenda pasi pekurudziro yevatungamiri vemakereke vaipikisa nekuodza chokwadi. Zvakatoipisisa zvacho, vairwisa maKristu vaimira nechokwadi cheBhaibheri. Ndizvo zvakavaita kuti vafanire kutongwa nekutsamwa kwaMwari.
Vanhu vari kusvibisa nyika nekukanganisa mamiriro ekunze. Zvinotsamwisa Mwari.
Kodzero dzevanhu dzinotarisana neKururama kwaMwari
Ndiro nomwedzekutongwa dzinoratidzira nguva nomwe dzemakereke. Munguva imwe neimwe yekereke, Mwari vaiedza kuita kuti vanhu vatende chokwadi cheMagwaro.
Kunze kwekereke yekutanga yakatangwa nemapostora, munguva imwe neimwe yekereke, vanhu vaisarudza kupikisa chokwadi kana kuwodza chokwadi vorwisa vanhu vaida havo kutenda muchokwadi.
Mumashure menguva nomwe dzemakereke, Mwari anenge apa rudzi rwevanhu mikana yakakwana. Zvivi nekusatenda zvaive zvakura kwazvo.
ZVAKAZARURWA 16:1 Zvino ndakanzwa inzwi guru kubva mutembere richiti kuvatumwa vanomwe: Endai, munodurura ndiro dzehasha dzaMwari panyika.
Iyi ichava nguva inosuwisa kurudzi rwevanhu. Kuregerera kwaMwari pamusoro pezvivi nevatadzi kunenge kwapera.
Zuva revanhu raive raguma.
Vanhu vaive vaita zvavanoda kwenguva nomwe dzemakereke.
Muchitsauko 16, nguva nomwe dzemakereke dzinenge dzapera Zuva raIshe rinenge rakutanga.
Mwari akatsamwa anoita zvaanoda. Kuda kwake kunenge kuri kutsvaira nyika kuibvisa zvivi nekunatsa Pasi rese.
Nguva yekereke yekupedzisira inonzi Raodikia. Zvinoreva kuti Kodzero dzevanhu.
Munhu wese anoda kodzero dzake.
Munhu wese anoda kuita zvaanoda.
Kuwanana varume nevarume vakadzi nevakadzi. Kushandura nhengo dzavo. Kuroora nekurambana. Vezvematongerwo enyika vanotora zvinhu munyika nechisimba nekuda kwemakaro avo.
Ruzivo rwevanhu rwakanaka uye rwakaipa. Tinoshandisa simba remarasha, oyiri, negasi zvakakoshera zvakare kuita manyowa (anobatsira zvirimwa zvinopa hafu yepasi rese chekudya) asi tinoda moto wakawandisa kuti zvivepo. Simba iri rinogadzira mapepa epurasitiki akakosha mune zvehutano, asi anosvibisa nyika. Simba iri rinoshandiswa rakawanda kuti rigadzire simbi nekongireti inotibatsira kumisa zvivakwa kuitira budiriro yedu, nematura esimba anogadzirwa magetsi atinoshandisa. Tinoda kodzero dzekurarama nenzira dzedu asi tichibatsira kusvibisa nyika nekugadzira mamiriro ekunze anoparadza nekuda kwemagasi anobata moto atiri kukonzeresa muchadenga tichiita zvatinenge tichiita.
Takakanganisa zvinhu zvakanyanya paNyika izvi zvakatsamwisa Mwari.
ZVAKAZARURWA 11:18 Zvino marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuparadza vanoparadza nyika.
Mwari ane kodzero dzekuparadza avo vanoparadza nyika.
Vatungamiri vemakereke vanozviti vane kodzero dzekufuratira, kuramba uye kutuka zaruriro dzeBhaibheri dzakatsanangurwa naWilliam Branham kwatiri. Vanoenderera mberi vachiparidza dzidziso dzisimo muMagwaro dzakafanana neTiriniti, Kisimusi, Chishanu chakanaka, nenguva yekutambudzika kukuru ine makore manomwe.
Vanotevera hama Branham vanotaura kuti vane kodzero dzekuipisa zvaakadzidzisa nekutaura kuti Chisimbiso cheChinomwe chakazarurwa, Mutumwa wekuna Zvakazarurwa 10 akaburuka, uye kuti William Branham Izwi raMwari risingatadzi.
ZVAKAZARURWA 16:2 Zvino wekutanga wakaenda, akadurura ndiro yake panyika; ndokuuya ronda rakaipa rinorwadza pavanhu vakange vane mucherechedzo wechikara, nevakanamata mufananidzo wacho.
Izvi zvinotiyeuchidza maronda aJobo. Satani akapa Jobo chirwere chemaronda kuti aedze kumuita kuti atuke Mwari. Marwadzo enyama nekusanzwa zvakanaka kunogona kuita kuti tituke Mwari zviri nyore nekumira kumushandira. Vanhu vasingatendi vagara vanoda kupomera Mwari nguva dzese, saka Mwari vachavarova nechirwere chemaronda anorwadza kuti avape chikonzero chekumupikisa. Maronda anorwadza uye anawo haawane zororo.
Vezvehutano vachashamisika apo huchenjeri hwenyama husingagoni kubata padambudziko idzva iri. Vanosarudza havo kusatenda nekuterera Bhaibheri reKing James vachaona kuti vasvika pamuganhu wezivo dzevanhu. Mwari vachaisa marwadzo panyama dzavo avanenge vasina mhinduro nawo.
ZVAKAZARURWA 16:3 Zvino mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake mugungwa; ndokuva ropa serewakafa; uye mweya mupenyu wega-wega ukafa mugungwa
Hatina zaruriro yakakwana yezviitiko zvemakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru.
Nguva iyi yakagadzirirwa kuti maJuda 144,000 vauye kuna Kristu nerubatsiro rwemaprofita maviri Mosesi naErija.
Hatitozivi zvakazara kuti zviratidzo izvi zvichava zvakawanda sei kana kuti zvichange zviine chirevo chemwey here.
Mvura dzegungwa dzinomiririra vanhu vazhinji vasina kugadzikika mumarudzi avo. Nyika imwe neimwe ine tsika dzayo, chitendero uye mararamiro.
Kuungana pamwechete kwemvura kunonzi gungwa. Uyu mucherechedzo wekubatana kwevanhu vachiita mapoka esimba nekubatana kwemakereke pakupedzisira.
GENESISI 1:10 Mwari akatumidza pasi pakaoma akati Nyika; nemvura yakaungana akaitumidza akati makungwa;
Nenguva iyi vasikana mapenzi nevasingatendi vachaona kuti kutenda zvakasiyana nezvinotaurwa neBhaibheri rufu rwakareruka, chero zvazvo vakabatana kuita mapoka mazhinji ekuzvipa simba.
ZVAKAZARURWA 17:15 Zvino akati kwandiri: Mvura yawaona, pagere mhombwe, ndivo vanhu nezvaunga nemarudzi nendimi.
Kushaikwa kwemvura rave dambudziko guru pasi rino rese nekuda kweshanduko dzemamiriro eknze. Mvura mucherechedzo weMagwaro.
Tinoshandisa mvura kuzvigeza. Tinofanira kunzwisisa Bhaibheri reKing James torarama neMagwaro kuti mweya yedu igare yakachena kubva kuzvivi nekusatenda.
VAEFESO 5:26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura neShoko,
ZVAKAZARURWA 16:4 Zvino mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake munzizi nemuzvitubu zvemvura; ndokuva ropa.
Zvitubu zvechokwadi ndiyo Testamente Yekare neTestamente Itsva.
Izvi zvinogona kuzoitika. Nzara huru icharova nyika kwemakore matatu nehafu, nenjodzi dzichiwira vanhu dzichikonzereswa nemaprofita maviri echiJuda Mosesi naErija.
ZVAKAZARURWA 11:6 Ava vane simba rekupfiga denga, kuti kusanaya mvura pamazuva ekuporofita kwavo, uye vane simba pamusoro pemvura, kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ese nguva dzese dzavanoda.
Saka, chero chingapindira pakuwanikwa kwemvura yakanaka kunenge kuri njodzi.
Rudzi rwevanhu runoramba zvitubu zvechokwadi zviri muMagwaro. Chokwadi cheBhaibheri chiri muRopa raJesu.
Vakatadza vakarasa mazuva avo enyasha. Ikozvino vacharipira neropa ravo.
Njodzi huru yekupedzisira ichawira rudzi rwevanhu.
Mweya iwoyo waantikristu unopikisa Mwari munguva nomwe dzemakereke unoziviswa munakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru kuti ndiwo rufu. Kota yevanhu vepasi rese 8 bhiriyoni vanourayiwa. Vanhu 2 bhiriyoni vachaparadzwa apo gehena rinozarurwa panyika.
ZVAKAZARURWA 6:7 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.
ZVAKAZARURWA 16:5 Zvino ndakanzwa mutumwa wemvura achiti: Makarurama, Ishe, aripo, newakange aripo, neachazovapo, nokuti makatonga izvi.
Hakuna anogona kukwikwidza nehuchenjeri hwekutsamwa kwaMwari. Takafanirwa nezvatinowana.
ZVAKAZARURWA 16:6 Nokuti vakadurura ropa revatsvene nevaporofita, uye ropa makavapa kuti vanwe; nokuti vakafanira.
Kana tikaramba ropa remuponesi netsitsi dzake, tinopihwa mutongo unorwadza. Kunyanya avo vanosarudza kurwadzisa vanhu vaMwari.
ZVAKAZARURWA 16:7 Zvino ndakanzwa umwe kubva muaritari achiti: Hongu, Ishe Mwari Wemasimbaose, kutonga kwenyu ndekwechokwadi uye kwakarurama.
Vatadzi vanovenga Mwari vachiramba kutenda muShoko rake. Asi vanozoripira muripo mukuru kwazvo. Mutongo waMwari wakarurama unoparadza vatadzi vanoramba kururama.
Nyika yakasairirwa kure nepayaimbove ikaenda pedyo nezuva
ZVAKAZARURWA 16:8 Zvino mutumwa wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva; kukapiwa kwariri kupisa vanhu nemoto.
ZVAKAZARURWA 16:9 Vanhu ndokupiswa nekupisa kukuru, ndokunyomba zita raMwari ane simba pamusoro pematambudziko awa, vakasatendeukawo kuti vamupe rukudzo.
Vatadzi vanomhura vachishandisa zita raMwari. Vanotuka muzita raJesu Kristu.
Hakuna mutadzi akambotuka muzita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene.
Kuita kwavo kukuru ndekwekuti vatadzi vanoziva zita raMwari voshandisa zita raJesu sezwi rekutuka. Tiriniti ine Vanhu vatatu. Hamugoni kuwana zita rimwechete rekupa vanhu vatatu. Saka, vanotenda kuTiriniti vanoti, “Muzita raBaba reMwanakomana naMweya Mutsvene” asi havazivi kuti zita racho nderekutii. Nemamwe mazwi, vanotenda kuTiriniti vanoshandira Mwari asina zita. Asi vatadzi vanoziva zita raMwari kuti ndiJesu Kristu.
Verengai nhau inotevera yeveSainzi vachitaura pamusoro penguva yechando yekupedzisira.
Zviri pachena kuti havagoni kutsanangura kuti nei nguva yechando yekupedzisira yakatanga uye chii chakakonzera kuti ipere.
“Hakuna akambobvira atsanangura zvinogutsa
Kuti nei mamoni remakushe repaBaresovka, muRussia, nedzimwe mhuka dzakawanikwa dzakawoma nechando musubartiki dzakaoma nechando dzisati dzadyiwa nezvikara zvenguva iyoyo. Zvemudumbu madzo zvaive zvakakwana maitova nehuswa nezvimwe pakati pemazino adzo."
(Kugona kuziva huswa nemaruva mumuromo mazvo nemudumbu, zvinoreva kuti mamothi huru iri raive rakaoma nechando zvakangotora maminetsi mashoma kuti riome. Hakuna tsananguro dzesainzi dzekutsanangura izvi.
“Vesainzi vachiri kushanda kuti vanzwisise kuti chii chakakonzeresa nguva yechando.”
“Zvisinei, gwara chairo rinoyananisa chiitiko cheMilankovichi, zvichibva pakutenderera kwenyika nekurereka kana kutamba kwayo, kunguva yechando zvinoramba zviri chakavanzika.”
“zvakadaro – nekuda kwezvikonzero zvinoramba zvisina kutsanangurwa
- mvura dzegungwa reKuzasi dzinogona dzakatanga kuburitsa mhepo yekabhoni dhayokisaidhi, inokonzeresa mudziya.”
“Apo imwe kabhoni dhayokisaidhi yakabva pazvinhu zvisina kujeka zvakare.”
“Kuedza mabhabho emvura akatapwa muchando chakaoma pasi rese, zvinoita sekuti zvikamu zvekabhoni dhayokisaidhi zvakatanga kukwira, zvichiteverwa nemudziya. Munzvimbo dzeSouth Pole. (Anyactica). Chiitiko chinopikisa chakaitika: kupisa kwakatanga kuitika, kabhoni dhayokisaidhi ikawedzera.
Chikonzero chekudzokera shure kwemahwendefa echando chinoramba chisina anoziva, zvisinei. Asi kwakaita shanduko musimba rezuva makore anoda kukwana 20,000 akadarika kundudzi dzemaitikiro ekutenderera kwenyika, kwaive kuduku kudarika shanduko dzaiitika kukatadza kukonzera kunyunguduka. Tingati, zvidimbu zvechando zvekuGreenland zvinoratidza kuti kwakaitika kudziya kukuru kumusoro makore anoda kukwana 60,000 akadarika, tarisai vesainzi vezvemamiriro ekunze vaEric Wolff vetsvagurudzo dzeBritish Antaectic.”
Asi kudziya kukuru hakuna kukonzera kuti chando chinyunguduke. Hakuna anoziva kuti nei.
Vesainzi vanosiya kunze kupindira kwesimba guru raMwari vosarudza kutaura kuti, “zvinoramba zviri chakavanzika” uye “hazvitsananguriki” uye “humbowo mune imwe nzvimbo hunorwisa humwe humbowo huri mune imwe” uye “humbowo hunoramba husina chiremerera”. Zvinosuwisa, vanhu vanotenda kuti vesainzi vane mhinduro pamusoro penguva yechando yekupedzisira. Zvisinei, vanhu vanotenda chete zvavanoda kutenda.
Mumazuva aNoa, Mwari akangosudurudza nyika zvishoma kuenda kure neZuva. Nyika yakarohwa nechando chakakurisa chenzvimbo dzakadzama chando chaive chakaoma chaive kuNorth Pole nekunzvimbo dzekuSouth Pole.
Mwari vachadzorera kuita kwekuwoma kwechando munguva yemakore matatu nehafu ekutambudzika. Mwari achaswededza nyika kuzuva uye kupisa kwezuva kucharova chando kwochinyungudutsa. Zvinosimudza gungwa nemamita anosvika 67. Chiso chegungwa chinowedzera kubva pa71% kusvika 75%. Chiso chenyika panyika chinodzikira kubva pa29% kuenda pa25%. Chidimbu chimwe muzvidimbu 6 zvenyika yedu chichanyangarikira mumvura. Chingorangarirai kututa kwevanhu apo vanomanikidzwa kutama mumaguta ari mumahombekombe anenge akukurwa nemvura. Mazhinji emaguta makuru epasi pano ari mumahombekombe egungwa.
Rima rinorova Nyika
ZVAKAZARURWA 16:10 Zvino mutumwa wechishanu wakadurura ndiro yake pamusoro pechigaro cheushe chechikara; ushe hwacho ndokuva rima, ndokutsenga marimi avo nekurwadzwa.
Mutongo unonyanya kurwadza irima. Vakaramba chiedza cheShoko raMwari, saka vakufanira kurarama murima. Zvirimwa hazvikuri murima. Mhosva dzichawanda pakuparwa kwadzo. Vanhu vese vari kudzidza ruzivo ruchava tsime rekunzwa vanhu vachirasika vasina kugadzikika apo vanoona kusagadzikika kwavo nekurasika kwavo pakutarisana nenjodzi idzi dzisina anogona kutsanangura muHupenyu.
ZVAKAZARURWA 16:11 Zvino vakanyomba Mwari wekudenga nekuda kwemarwadzo avo uye nekuda kwemaronda avo; asi havana kutendeuka pamabasa avo.
“Maronda avo”. Ronda rinorwadza raive ndiro yekutongwa yekutanga. Izvi zvinoratidza kuti ndiro hadzisi mutongo wenguva duku unodururwa kwechinguvana. Dzinodururwa dzoramba dzichirwadza chero kana mutongo unotevera uchidururwa. Izvi zvichava munguva dzinorwadza kwazvo apo mitongo inotimomotera.
Rima kushaikwa kwechiedza.
Rima huvepo hwezvakaipa nezvivi. Rudzi rwevanhu rwakaramba chiedza nehutungamiri hweShoko raMwari ikozvino pasi rese rinokandirwa murima.
Rima rinovenga chiedza nekuti chiedza chinoparadza rima.
Vanhu vazere zvivi vanotuka nekumhura Mwari apo rima rinoratidza chimiro chavo chemweya. Satani anovenga kufumurwa. Vatadzi vanoedza zvese kururamisira zvivi zvavo.
ZVAKAZARURWA 16:12 Zvino mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake pamusoro perwizi rukuru Yufuratesi; mvura yarwo ndokupwa, kuti nzira yemadzimambo anobva kumabvazuva igadzirwe.
Mambo wekuMusoro iRussia. Madzimambo ekuMabvazuva madhimoni kana vakaipa. Izvi zvinosangana neHwamanda yechitanhatu umo mune madhimoni mamiriyoni mazana maviri. Madhimoni iwayo ese anosunungurwa.
ZVAKAZARURWA 9:14 richiti kumutumwa wechitanhatu wakange ane hwamanda: Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.
15 Zvino vakasunungurwa vatumwa vana vakange vakagadzirirwa awa nezuva nemwedzi negore, kuti vauraye chetatu chevanhu.
16 Zvino uwandu hwehondo dzevatasvi vemabhiza hwaiva makumi ezvuru maviri emakumi ezvuru; ndakanzwawo uwandu hwavo.
Vatumwa vana vekuparadza
Varume vemabhiza vanokwanisa kuyambuka rwizi zviri nyore. Vhesi iri rinotaura pamusoro pevatasvi vemweya vanova vakaipa.
Rwizi Yufuratesi runopinda nemuEdeni uye ndirwo muganhu weNyika yeChipikirwa. Saka Yufuratesi rwune chirevo cheMweya. Mvura iyi inomiririra Shoko rinosunga Vakaipa rovamisa kukuvadza vakazadzwa neMweya. Vakaipa vanogona kusvika kumuganhu wemuKristu vomutyisidzira, asi Diaborosi haagoni kuyambukira kune rumwe rutivi rwemvura dzeShoko kuti akuvadze muKristu. Kana Shoko rikafa nekuti harichina anotenda mariri, ndipo panonyangarika ruchengetedzo rweShoko Diaborosi oshaiwa muganhu. Ndiyo ichava nguva inotyisa kwazvo.
Ngoro dzaFarao dzese nevanodzifambisa pazvakanyura muGungwa Dzvuku, Mosesi akaimba pamusoro pemweya waantikristu waivashandisa.
EKSODO 15:1 Zvino Mosesi navana vaIsraeri vakaimbira JEHOVA rwiyo urwu; vakataura vachiti, Ndichaimbira JEHOVA nokuti wakasimuka nesimba rake; Wakakandira bhiza nemutasvi waro mumakungwa.
Mosesi akaona zvakaipa chaizvo zviri bhiza raantikristu nemutasvi waro.
ZVAKAZARURWA 6:2 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
Vuta husina museve kuropodza. Mweya wehunyengeri hwechitendero wakagamuchidzwa korona yemitumbi mitatu negore 1315.
Mweya mitatu ipfungwa yakaipa sezvo munhu mumwe nemumwe aine Mweya
ZVAKAZARURWA 16:13 Zvino ndakaona kubva mumuromo wezibukanana, nekubva mumuromo wechikara, nekubva mumuromo wemuporofita wenhema, mweya yetsvina mitatu sematafi;
Nyoka ndiye Satani. Chikara mweya wezvitendero zvemasangano. Maprofita enhema ndiwo mweya uri muna Pope unomuita muprofita wechitendero chenhema. Mweya uyu wakabva kuna Pope kuenda kune umwe Pope mukutsiviwa kwemaPope kwatora makore 2000.
Ikozvino tinosvika pamuvengi wekereke chaiye munhorondo yayo yemakore 2000. Dzidziso yezwi risimo muMagwaro Tiriniti. Mweya mitatu yakaipa yakachengetedza nekuparidza tsananguro dzemaGiriki echipegani dzaMwari-mumwe-muVanhu-vatatu.
“Baba neMwanakomana ndevekuita kumwechete” itsananguro dzechiGiriki.
Saka, “Baba neMwanakomana ndeveEsenzi rimwechete” hameno kuti zvinorevei.
Chakanyanya kukosha, Tiriniti yakabira Mwari zita rake. Hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu. Mwari weTiriniti haana zita.
Kana kuine Tiriniti, Jesu haagoni kuita Ishe Mwari Wamasimbaose.
Mweya mitatu yakaipa yeTiriniti yakavapo mumakore 2000 enhorondo yekereke kuti iunganidze pasi rese pamwechete kuitira mutongo wayo nekuparadzwa paAmagedhoni.
Simba raJesu rinoshamisa richaratidzira kana akuparadza hondo dzese paAmagedhoni uye richazivisa munhu wese kuti ndiye Mwari Wamasimbaose.
Hakuna “Mwari Mwanakomana” muBhaibheri. Mwari haasi munhu.
Mwanakomana waMwari ane kuzara kwehuMwari, Mwari wese, achigara maari.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwehuMwari kunogara maari (Jesu) pamuviri.
Mwanakomana waMwari haasi Munhu ari kunze kwaMwari Baba.
ISAYA 44:6 Zvanzi naJEHOVA Mwari wavaIsraeri, nomudzikinuri wavo, JEHOVA wehondo, ndini wokutanga nowokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
ZVAKAZARURWA 16:14 nokuti ndiyo mweya yemadhimoni inoita zviratidzo, inobudira pamadzimambo epasi neenyika yese, kuvaunganidzira kuhondo yezuva iro guru raMwari Wemasimbaose.
Vakaipa vechitendero vane hunyanzvi vakaita hunyengeri hwekugadzira dzidziso yeTiriniti. Vatungamiri vemakereke vakuru vese vari kuzvuzvurudzwa kupinda mumibatanidzwa yemakereke uye Tiriniti ndiyo imwe yedzidziso shoma dzavanotenderana. Saka, Tiriniti ndiyo namo huru inobatanidza makereke. Zvakadaro, vese vasingateveri Tiriniti vanorambwa nekurwadziswa.
Munana uriko nhasi ndewekuti makereke ari kuda kwazvo kubatana zvisinei nemusiyano uri pakati pavo.
ZVAKAZARURWA 16:15 Tarira, ndinouya sembavha. Wakaropafadzwa anorinda, nekuchengeta nguvo dzake, kuti arege kufamba akashama, vaone nyadzi dzake.
Kuti tipesane neAmagedhoni tinofanira kupfeka zvakanaka, zvese panyama nepamweya.
Mbavha inouya tisingafungiri kubva panze. Hakuna ari mukereke anogona kuona Kuuya kwaShe nekuti Ishe havasisiri mumakereke edu. Kuna Zvakazarurwa Chitsauko 3 Jesu anoti aive panze pekereke, saka, Jesu anouya kubva panze pekereke kuuyira avo vari mumigwagwa nemuruzhowa.
RUKA 14:23 Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuruzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
Ava ndivo vanhu vakaipa vasiri mukereke. Vanomanikidzwa kugadzirira kuti vatorwe pakukwira kwekereke mukubwaira kweziso kunosangana naShe kumakore. (ndakambopfurwa katatu nemapurisa vachindimanikidza kuti ndishandure nzira dzemafungiro angu.)
RUKA 14:24 Nokuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa acharavira chirairo changu.
Ava ndivo vakanaka, vanhu vakaponeswa mumakereke vanokokwa kuChirayiro cheMuchato. Asi vese vakazvibvisa sezvo vaikoshesa zvinzvimbo zvavo nezvavaive nazvo. Hakuna pakati pavo anogona kupinda paKuuya kwaShe.
Tinofanira kutarira kuti tione kuti muparidzi ari kutaura zvinobva muMagwaro here kana kwete.
Muromo wemuparidzi wakavhurika nedzidziso dzisimo muMagwaro ungori umwe wemasuwo egehena.
Avo chete vane zaruriro yeBhaibheri reKing James kuti ndiro chokwadi chikuru ndivo vakachengetedzeka nekuti vanowana kunzwisisa Magwaro.
Nguwo yedu imwechete ndeyekuti tiputirwe nenguwo dzeShoko raMwari.
JOBO 29:14 Ini ndaifuka kururama, naiko kwaindifukidza.
ZEFANIA 1:8 Zvino nezuva rechibairo chaJEHOVA, ndicharova machinda nevanakomana vamambo, navose vakapfeka nguwo dzavatorwa.
Nguwo dzavatorwa kupfeka kusina kudzikama kunoratidzira nyama. Chimwe chemapfekero asina kururama vakadzi vanopfeka midhebhe sekunge varume. Kupfeka nguwo dzechikadzi kuvarume kana dzechirume kuvakadzi .
Pamweya, kupfeka kwevatorwa ndeapo vanhu vanoshonga zvitendero zvakaitwa nevanhu netsika dzemakereke.
Chero chinhu chisimo muMagwaro chakafanana nekushama, nekuti chokwadi cheBhaibheri rega ndicho chinokwanisa kutifukidza.
Rimwe zuva, makereke ese asingateveri Bhaibheri achafumurwa apo zvakaipa zvawo uye kunyadziswa kwevaparidzi vemakereke.
62 -0908 DANHO RINO REHUSHUMIRI HWANGU
... Ndinovimba achashongedza hushumiri hwangu neizvi,
Achindisiya ndichitora nguwo dzeShoko ndoshongedza Mwenga wake nenguwo dzeShoko.
61- 0108 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 3
Ndinorangarira mumaonero angu pandakaona Huvepo hwaIshe, kana vanhu Vake muNyika yekubwinya, ndakaongorora, ndakavaudza ... vakandiudza kuti Aizonditonga kutanga neShoko randinoparidza.
Ndakati, “Maparidzirwo arakaitwa naPauro!”
Mamiriyoni evanhu akadanidzira akati, “Takazorora pana izvozvo!” mazviona? maona.
Kereke yeCatholic inotora nyika kunoisiya muAmagedhoni
ZVAKAZARURWA 16:16 Zvino wakavaunganidzira kunzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
Amagedhoni inodaidzwawo kuti Megiddo.
Har zvinoreva kuti gomo kana nzvimbo dzezvikomo.
(Uyu ndiwo mutongo wekereke yeRoman Cathoic waibva pazvikomo zvinomwe zveRoma. Kristu akagadza gomo reHushe hweMereniyamu yake yemakore 1000 zvichibva pane zvakaonekwa naDanieri.)
Zvikomo zvinomwe zveRoma. Chikomo chepamutsetse mkuru chaive gurukota reHushe hweRoma yemapegani. Chakawira pasi Muzinda weLaterani waive pachikomo cheCaelia chakaitwa ndicho gurukota rekereke yeRoman Catholic.
Zvikomo zvinomwe mucherechedzo wemisoro minomwe yechikara. Mukadzi ndiyo kereke yeRoman Catholic, uyo ane simba riri muVatican.
Mukadzi agere parutivi pemisoro minomwe. Vatican City igere parutivi pezvikomo zvinomwe zvekutanga.
Megiddo zvinoreva kuti “nzvimbo yeruzhinji”. (Satani aovimba neruzhinji kugadzira hondo dzake)
Iskarioti zvinoreva kuti “munhu wemaguta”. Ruzhinji muguta rwakakurudzira Judasi kuita zvakaipa.
Kuda mbiri, kubvumirana neruzhinji, nekunamata zvido zvevazhinji ndiko kuneta kukuru kwerudzi rwevanhu.
Tinosarudza zviri nyore kutevera kunoenda mhepo, asi mhepo kazhinji kuenda kumateru. Hwaro nezvitendero zvinowodzwa ipapo.
Megiddo (kuchafira mauto mazhinji paAmagedhoni) padhuze neNazareta (uko kwakakurira Jesu.)
Magumo anorwadza evanopikisa Jesu.
ZVAKAZARURWA 16:17 Zvino mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga; kukabuda inzwi guru kubva mutembere yekudenga, kubva pachigaro cheushe, richiti: Zvaitika!
Uyu ndiwo uchava mutongo wekupedzisira.
Izwi guru. Kuchava nezwi rimwechete. Izwi raMwari ndiro Bhaibheri reKing James.
ZVAKAZARURWA 16:18 Zvino kwakava nemanzwi nemitinhiro nemheni, ndokuva nekudengenyeka kwenyika kukuru, kwakadaro kusina kumbovapo kubva pakuvapo kwevanhu panyika, kudengenyeka kwenyika kune simba rakadai, kwakakura zvakadai.
Zvino, pakudururwa mitongo mikuru pakupedzsira kwenguva yeKutambudzika nekuti makereke eMharidzo aiti anotevera hama Branham aishandisawo mazwi, Kutinhira nekupenya kwemheni kuparadza chokwadi cheBhaibheri chakaedza kuziviswa nehama Branham nguva yeKutambudzika kukuru isati yatanga. Saka makereke eMharidzo akatanga ari Mwenga nekukasika akasimudzira mapasita echiNikoraiti kuti ave misoro yemakereke. Mumwe nemumwe akava izwi remifungo yake apo pasita mumwe nemumwe akaedza kuonekwa seakangwara kudarika vamwe. Mazwi anorwisana asimo muMagwaro aya akagadzirisa nekuturikira zvisizvo izwi rimwechete rechokwadi remutumwa wechinomwe. Mapasita haana chipo chekunzwisisa Magwaro sezvo kuri ndiko kudanwa kwevadzidzisi veBhaibheri, vanoonekwa sevavengi nemapasita. Saka, vanhu vemharidzo vakaponeswa vanoramba kuva Mwenga pavanomedza dzidziso dzisimo muMagwaro, vakabatana nevasikana mapenzi asingateveri Magwaro vakanyengerwa nemapasita avo anoedza kuzviita akachenjera avo vanokoshesa pfungwa isimo muMagwaro yekuti chegumi chese ndechapasita. Rudo rwesimba rwakaita kuti Pasita azviite musoro wekereke. Vanoda kukudzwa nenhengo dzekereke dzisina zivo neBhaibheri. (Munyika yemapofu ziso rimwe ndimambo).
Kutinhira kunomwe, kusina kunyorwa, kwakava urimbo kumapasita vakarasa Magwaro apo vaiturikira pfungwa dzisimo muBhaibheri. Pope akaturikirawo pfungwa dzisina kunyorwa muBhaibheri. Saka, mapasita akazvuzvurudza makereke avo emharidzo kupinda mudumba reRoman Catholic vakatobva vataura kuti Hama Branham havatadzi. Muna 1870, Pope akazviti haatadzi.
62 -1007 KIYI YEMUKOVA
... vari kuparidza kuti murume anofanira kusiya mukadzi wake otsvaga mukadzi wake wemweya, uye kuti ini handitadzi. Kuti hakuna, ... uye, oh, nezvimwe zvezvinhu zvakaipisisa zvamakambonzwa.
Kuita hama Branham munhu asingatadzi zvinovaita Pope. Vemasangano anopikisa chiCatholic vari kunyengerwa kusvika pakutenda mumazano eRoman Catholic.
Evangeri rakabva kuMabvazuva rikaenda kuMadokero
Kupenya kwemheni kufamba nekukasika kweShoko raMwari mumashure mekunge chokwadi cheBhaibheri chauraiwa paKanzuru yeNicaea muna AD 325 Rumutsiridzo
MATEO 24:27 Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu.
Mumashure mekufa kwechokwadi muNguva dzeRima, nguva yekereke yechishanu yakaona Evangeri richiparidzwa naMartin Luther vanhu vachiponeswa nenyasha kupfurikidza kutenda muGermany kusvika kuna John Wesley kuEngland achiparidza hutsvene nekuparidzira zvakasvitsa munguva huru yemaMishinari yenguva yekereke yechitanhatu. Kuchibva kwazoya, munguva yekereke yechinomwe, zvipo zvePentekositi zvakadzorerwa kuAmerica William Branham akazivisa zvakavanzika zveShoko raMwari. Zvakagonesa Mwenga wechokwadi kudzorerwa kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yemapostora.
Chiedza cheEvangeri chakafamba kubva kuGermany kuMabvazuva kuenda kuEngland chichizoenda kuAmerica kuMadokero. Nguva imwe neimwe, chokwadi chaiwedzera kuziviswa, chiedza chikawedzera kujeka. Jesu ndiye Shoko raMwari. Anogona kuonekwa zvakajeka achifamba nemapeji eBhaibheri reKing James.
Vatendi vemharidzo vanoti vanotevera Hama Branham vakabva vagadzira dzidziso dzakawanda dzekutinhira dzisina kunyorwa dzisina anoziva. Kuedza kwavo kuzviita vakachenjera kwakawedzera kudyara kurasika muvanhu.
Asi ipapo kwakauya mazwi nekupenya kwemheni kuzhinji apo makereke akasiyana siyana akatangwa anodarika 45,000 ane chiKristu chemakwikwi makereke akava dutu. Muparidzi umwe nemumwe anoti zvaanotaura iye ndizvo zvakanaka asi zvichitipa kupenya kwakasiyana nekweMagwaro.
Pakupedzisira, kudengenyeka kwenyika kukuru kuchagumisa nguva yekereke yedu yechinomwe kuti nguva yeKutambudzika kukuru yemakore matatu nehafu itange.
Mazwi, kupenya kwemheni, kutinhira, nekudengenyeka kwenyika zvichakonzera kuti nguva yechinomwe ikandirwe munguva yeKutambudzika kukuru. Saka chiitiko chakafanana neichi chichaona kuparara kwenguva yakaipa iyi ine kurasika kuzhinji.
ZVAKAZARURWA 16:19 Zvino guta guru rakava zvikamu zvitatu, maguta emarudzi ndokuwa; Bhabhironi guru ndokurangarirwa pamberi paMwari, kuti aripe mukombe wewaini yekutsamwa kwehasha dzake.
Roma ndiyo Babironi rakavanzika nekuti yakamedza zvakavanzika zveBabironi. Roma ichaparadzwa nemabhomba enyukiriya.
Mwari akavenga zviri kuita nekereke yeRoman Catholic.
ZVAKAZARURWA 18:8 Naizvozvo achasvika nezuva rimwe matambudziko aro, rufu nekuchema nenzara; uye richapiswa kwazvo nemoto; nokuti ane simba Ishe Mwari anoritonga.
9 Nemadzimambo enyika akaita upombwe nekurarama paumbozha naro acharira pamusoro paro nekuchema pamusoro paro, pavachaona utsi hwekupiswa kwaro;
Moto unopisa asi hakuna anomhanya kuudzima nekuti mabhomba enyukiriya anoburitsa redhiyesheni inogara kwemazuva kana vhiki rese.
ZVAKAZARURWA 18:10 vamire kure nekutya kurwadziwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, guta guru Bhabhironi, guta rakasimba, nokuti kutongwa kwako kwasvika neawa rimwe.
Munhu akachenjera haafi akaenda pedo nepaputika bhomba renyukiriya kwevhiki, kuti ave akachengetedzeka.
ZVAKAZARURWA 16:20 Zvino chiwi chega-chega chikatiza, nemakomo akasawanikwa.
Zviwi (zvitsuwa) zvinonyangarika makomo ese ezviputikamabwe anoputika onyangarika.
Bhomba reCastle Bravo themonyukiriya rakaedzwa muna 1954 rakanyangaritsa zvitsuwa zvitatu muBikini Atoll muchitsuwa cheMarshall. Ichi chaive chiratidzo chezvichauya apo rudzi rwevanhu rwakatanga kugadzira zvombo zvakasimba kwazvo zvisingagoni kudzorwa nezivo yevanhu. Vesainzi vakadzidza kudarika hwaro hwavo.
ZVAKAZARURWA 16:21 Zvino chimvuramabwe chikuru chinorema setarenda* chikawira pamusoro pevanhu kubva kudenga; vanhu vakanyomba Mwari nekuda kwedambudziko rechimvuramambwe, nokuti dambudziko racho raiva guru kwazvo.
Tarenda ndiro rinorema zvakanyanya muBhaibheri, rinoda kusvika mapaundi 75 kana 35 kg.
MuTestamente yekare, vaitaka mhombwe nemabwe. Mwari anoguma akushanda nenyika yakakurudzirwa nemhombwe kereke yeRoman Catholic. Kumhura kumwechete kubviswa kwezita raMwari. Kereke yeRoma yakabvisa zita raIshe Jesu Kristu pakuva zita raMwari Wamasimbaose. Vakaritsiva nezvinzvimbo zvake zvitatu “Baba Mwanakomana naMweya Mutsvene,” vachiti ndiro zita raMwari. Izvi hazvina maturo.
Nyika inokurudzirwa nemhombwe kereke yeRoman Catholic icharohwa zvikuru. Zvimvuramabwe zvichavarova kwazvo zvovauraya.