Zvakazarurwa 03 chikamu 2 Mumutsiridzi weChingezi
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
John Wesley akadzidzisa hutsvene nekuparidzira zvakatungamirira kusvika munguva huru yemaMishinari. Akatambira kure nezvematongerwo enyika.
- Musuwo wakazarurwa kuhushumiri hwemamishinari
- Musuwo wakazaruka unotanga kuzivisa Jesu saMwari Wamasimba ose
- Chokwadi chekuzara kwehuMwari chinotanga kudzoka
- Vatungamiriri vemakereke vanoda simba nemari
- Makereke akatanga kubatana kuti atiise pamuedzo wekubva paMagwaro
- Shingirirai kusvika kumagumo musarasa tariro
- Tiriniti yakarasa Zita raMwari kumuita Vanhu vatatu umwe neumwe ane zita rake
- Jerusarema Idzva ndiwo musha wedu wekupedzisira
Musuwo wakazarurwa kuhushumiri hwemamishinari
ZVAKAZARURWA 3:7 Nekumutumwa wekereke iri muFiradefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDavidi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura:
Firadefia zvinoreva kuti rudo pakati pehama.
Mutumwa kana nhume kukereke aive John Wesley kuEngrand yekuzasi. Kusimbirira kwake paruponeso kupfurikidza kutenda zvinoteverwa nekukomekedza kuti vanhu vararame muhutsvene, zvakakoshesa hupenyu hwevanhu vaive pakuparidzira uye kubatsira varombo. Wesley haana kupindira nhau dzeruvengo dzese nekushungurudzana kunoitwa nevanopikisa zvematongerwo enyika kuna mambo weBritain sezvaiita vekuFrance. Venhorondo vanoti kurudziro dzake dzakaponesa England kubva kuFrance yaive duku uye kubva kuhudzvanyiriri hwemauto. Kusimuka kweFrance kwaive nenyota yeropa uye vachipikisa chitendero. Zvakateverwa nehudzvanyiriri hwaNapoleon munezvematongerwo enyika akarwa hondo dzinosvika 60 dzakakonzeresa kufa kwemauto ekuFrance anosvika 1 miriyoni. Hutungamiri hwaWesley hwemweya hwakadzikamisa vanhu vemuBritain hukavanzvengesa kubva pakuurayiwa kusina maturo uku.
Martin Luther naJohn Wesley vese vaive nekubata kukuru panguva mbiri dzekereke dzavakararama madziri. Nguva yekereke yaLuther yaive Sardis, Vakapunyuka. Kushinga kukuru kwaLuther kwakagonesa vakapikisa chiCatholic kupunyuka kubva kukereke inotonga uye ine simba rezvematongerwo enyika yeRoman Catholic.
Nguva yaWesley yeFiradefia kana kuti yeRudo pakati peHama yakaona achigonesa vanhu kusimbirira pana Mwari saka vakagona kuda vanhu zvakanyanya nekukunda zvakaipa zvakawanda nenzira yakadzikama. Izvi zvakagonesa mamishinari kugona kukunda muzvinhu zvakawanda zvavakasangana nazvo mhiri kwemakungwa.
Firadefia zvinoreva kuti Rudo pakati peHama. Ndizvo zvinopa chiKristu simba racho. Zvakaita kuti vanhu vasiye mabasa avo vachienda kunyika dzevaHedeni kunoponesa mweya nekurarama muhutsvene, zvisinei nezvipingaidzo zvinotyisa zvakawanda zvavaisangana nazvo. Nekuti maMishinari vaiurayiwa nevaHedeni vanhu vakawanda vakazvipira kuita mamishinari.
Bhaibheri reKing James Vhezheni rakaturikirwa pakati pegore 1604 negore 1611. Rakazoongororwa rikagadziriswa kwemakore anoda kusvika 160 kusvikira rashambadzwa muna 1769. Pakupedzisira Shoko raMwari raive nechokwadi mumutauro waizoparidzwa pasi rese.
Bhaibheri rechokwadi raive nehuremu pachinzvimbo chemumvuri.
Bhaibheri rakarurama chete ndiro rinokwanisa kupa zaruriro yakarurama pamusoro penhau.
King James Vhezheni ndiro Mukuru wedu rakava nheyo dzenguva dzemamishinari dzakatanga gore rakapoteredza 1790. Hushe hweBritain hwaizobata kota yepasi rese. Negore 1750, budiriro yemaIndasitiri yaive yatanga kuitika zvakava kiyi yebudiriro yemweya yenguva ino. Zvikepe zvemarasha zvaizotakura mamishinari kuenda navo mhiri kwemakungwa. Zvitima zvemarasha nenjanji zvaizovaendesa kunyika dziri kure nemvura. Mishina yakawedzera uyewo kuwanikwa kwezvinhu nepfuma kukawedzera. Vanhu vaikwanisa kutsigira mamishinari munyika dzevatorwa. Makumi ezviuru zvemamishinari vakabuda muBritain. Kuzvipira nekushingirira kwevanhu ava kwakatanga nguva huru yemamishinari munhorondo yekereke. Mienzaniso yavo ichiri kutikurudzira nhasi uno.
Zvavhurwa kana zvavharwa naMwari ndizvozvo.
Izvi zvinongoratidza kuti Mwari ari kutonga zvakazara. Bhaibheri reKing James ndiro raive kiyi yakakosha apo Chirungu chaizoparidzwa pasi rese kudarika mimwe mitauro yese. Satani haana kukwanisa kumisa kupararira kwechokwadi kwakatorwa kutenderera pasi rese nechokwadi chikuru nechipo chekudzidza Chirungu. Munguva yaizotevera yeRaodikia, matekinizheni ekuAmerica akaita makombiyuta aizobata hushe intaneti yaizosvika kumagumo enyika. Mwari vaiziva kuti 60% yemawebhisaiti epaintaneti aizova eChirungu. Russia ndiyo yaizotevera ne9%. Saka, Satani haagoni kumisa kuparidzwa kwe Bhaibheri reKing James paIntaneti. ChiHeberu nechiGiriki zvese zvinenge hafu yepesenti yemawebhisaiti ari paintaneti. Saka, chiHeberu nechiGiriki hazvigoni kuparidza Evangeri kurisvitsa kumiganhu yenyika. Hazvina vazhinji vanozvinzwa kana kuzvitaura.
Musuwo wakazaruka unotanga kuzivisa Jesu saMwari Wamasimba ose
ZVAKAZARURWA 3:8 Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.
Basa rechimishinari renguva yekereke iyi raive guru. Hutsvene hwakava nzira yehupenyu. John Wesley akaparidza achipikisa kunwa hwahwa rimwe zuva akamira paguva rababa vake. Makore makumi mashanu akatevera vashanyi vakazouya vakaona kusina kwaitengeswa doro mamaira makumi mana mativi ese kubva paive neguva iroro. Ndiko kwaive kuita kwemweya wekutsiurika waibata vanhu.
“Musuwo wakazaruka”.
II VAKORINTE 2:12 Zvino ndichisvika paTroasi neevhangeri yaKristu, ndazarurirwa mukova muna Ishe,
Pauro akatsanangura rwendo rwake rwutsva rwechimishinari semusuwo wakazaruka.
Musuwo wakazaruka kukereke yefiradhefia wairatidza kuparidzwa kukuru kweEvangeri kusina kumboonekwa pasi rese.
VaNikoraiti vaive nemunhu mumwechete ari musoro wekereke imwe neimwe vakava masuwo akazarurwa ekukudza muzambiringa wenhema. Izvi pazvakangotsigirwa nesimba renyika zvakabva zvapararira semoto wesango.
Asi nguva yekereke yechishanu yaLuther yakatipa mukana wekunoona nyika dzemhiri, kupambwa, nekudhindwa kwemabhuku. Izvi zvakateya nheyo dzemabasa emamishinari.
“Mune simba shoma”.
Nguva huru yemamishinari yaive isina masuwo akazaruka esimba rePentekositi ravaifanirwa kunge vanaro. Vaive vasinawo kunzwisisa kwakadzama kwezvakavanzika zveShoko rakanyorwa. Vaive vachitenda mudzidziso dzeRoman Catholic dzakaita seTiriniti, Chishanu chakanaka, Kisimusi, nemunhu mumwechete ari musoro wekereke nezvimwe zvakadaro. Mupostora haana kubvira asiya munhu mumwechete ari musoro wekereke.
Chokwadi chekuzara kwehuMwari chinotanga kudzoka
Jesu ndiye musuwo. Musuwo wakazarurwa zvinorevawo kuti zaruriro yekuti Jesu ndiyani, yaive yatanga kudzoka.
JOHANE 10:7 Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ini ndiri mukova wemakwai;
Ari Baba Jesu akanga ari PAMUSORO pemaJuda muTestamente Yekare.
Ari Mwanakomana, Jesu aive Mwari PAKATI pedu, Emanuere.
MATEO 1:23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri.
JOHANE 14:17 Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva,
nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
Mweya Mutsvene ndiMwari MUKATI medu.
Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene zvinoreva Mwari pamusoro pedu, Mwari pakati pedu, Mwari mukati medu.
Mazita aMwari ese emuTestamente Yekare akafanana naJehova naErohimi haana kumboshandiswa muTestamente Itsva.
Mwari akava Munhu akatora zita remunhu rekuti Jesu.
Jesu Kristu ndiro zita remunhu raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene. Saka, Jesu Kristu ndiro zira remunhu raMwari Wamasimbaose.
Muna Jesu, Mwari akava Munhu akararama pakati pedu.
ZVAKAZARURWA 1:1 Chakazarurwa chaJesu Kristu,
ZVAKAZARURWA 1:8 Ini ndini Arfa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose.
Vatungamiriri vemakereke vanoda simba nemari
ZVAKAZARURWA 3:9 Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti VaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda.
“Sinagoge raSatani.”
MaJuda anozvidaidza kuti vana vaMwari vachibvisa vamwe vese. Mweya wekusarudza uyu unokudza kereke imwechete sevasanangurwa vaMwari, zvakaona kukura kwechiKristu chemakwikwi. Kereke yangu iri nani kudarika kereke yako. Pasita wangu ari kumberi kune wako.
Kubviswa kuchiCatholic, vemasangano vakatanga kupatsanurana kuita masangano akasiyana siyana nemarudzi emakereke. Kukosha kwakava pakukura kwekereke nemari inokandwa kukereke pakukura kwemuono wavo wenyika, muono wavo wemweya unoita muduku.
Makekereke akapinda munezvematongerwo enyika. Zvematongerwo enyika itsime risina magumo rekunetsana sezvo zviri mazano netsika dzevanhu. Asi makereke akawana rutsigiro rwehurumende anobudiriro pamari kubva kukurudziro dzezvematongerwo enyika.
Vakaumba tsika dzechitendero nekugarisana.
Mamereke anogona kuita basa guru rekuita kuti vanhu vaponeswe. Vanotaura pamusoro peMagwaro apo Mwari vanotiregerera kana tikatendeuka kubva kuzvivi zvedu. Vanotaura pamusoro pemagwaro anotaura kuti tinonatswa chete neRopa raJesu akatifira pamuchinikwa. Ndiwo mavambo anodakadza.
Vanotarisira kuti tipinde kereke.
“Kupinda kereke”. “Kuva nhengo yekereke”. Kuenda kukereke.” Pasita wako ndiyani?” zvese izvi hazvimo muMagwaro. Saka, kana zvikangoita kereke mukati, zvinhu zvinobva zvaipa.
Jesu akarurama asi kereke haina.
Tinodzidziswa kuti “Chishanu chakanaka”. “Kisimusi”, “Muti weKisimusi”, “25 Zvita”, Renti”, “Mucherechedzo wemuchinjikwa”, “Pasita musoro wekereke”, “Tiriniti”, “Mwari Mwanakomana”, Kurambana nekuroorana”, nezvimwe.
Hatitenderwi kupokana nezvinhu izvi kuramba chinhu nekuti hazvina kunyorwa muMagwaro.
Kutenda mukereke kana mumutungamiriri wekereke kwakatsiva kutenda kuMagwaro.
Pachinzvimbo chekuti ive nzvimbo yechokwadi, kereke inova riva rekunyengera vanhu.
Asi sekufunga kwemaJuda kuti vaikwanisa kuwana hutiziro muSinagoge nekunamatako, munguva yekereke yeFiradefia maKristu vaivanda mukereke. Vaifunga kuti kupinda kereke ndizvo zvakakosha. Vakazvipira kudzidziso dzekereke netsika pachinzvimbo chekuzvipira kuBhaibheri. Kereke imwe neimwe yaive nemusoro asiri Magwaro aidaidzwa kuti Vika, kana mushumiri, kana murevhi, kana pasita, kana bhishopu. Musoro mumwechete wekereke ndiJesu Kristu.
VAEFESO 5:23 nokuti murume musoro wemukadzi, saKristuwo ari musoro wekereke, uye ndiye Muponesi wemuviri.
Vanhu vari muhushumiri vanofunga kuti vanogona kutora chinzvimbo chekutungamirira hama dziri pakati pavo.
Bhishopu aive akagadzwa pamusoro pevakuru padunhu. Kereke yakawanana nenyika nesimba renyika kereke yakatadza kudzoreka. Vana vesangano vakavaka dzavo tsika nedzidziso dzisimo muMagwaro. Vanosarudza mafungiro avo enyama pachinzvimbo cheMagwaro.
Asi vatungamiri vemakereke vakazviunganidzira hupfumi hwakawandisa. Vakatevera muenzaniso waJudasi akatengesa vanhu nekuda kwemari.
Asi Musi weKutongwa, Mwenga paachatongwa, vatungamiri vekereke yanhasi vachamira netsoka dzavo voziva kuti vaikanganisa.
Haasi Jesu akabatana nemabasa. Jesu ega ndiye anogona kutiponesa, kana tikatendeuka tikatenda.
Luther akadzorera Ruponeso nekutenda munaJesu Kristu ega asi kereke yeRoman Catholic nevamwe vayo vekumabvazuva, maOrthodox, vakaramba vakabatirira pamabasa kuti vaponeswe. Asi kururamisirwa kwatinofanira kutsvagakunowanikwa muna Kristu chete. Zvimwe zvese zvakaparara parutivi pake.
MaJuda aive nechiprista chaAroni pamusoro pawo chakakundikana kwazvo nekuti chakauraya Messiasi nekuti akaisa panjodzi mari dzavo paakadzinga vaiita Mari muTembere katatu. ChiPrista chakabatira Mwari kuti vaite mari kwete kuti vaparidze chokwadi.
Chiprista chaAroni chakaguma apo Kefasi akabvarura nguwo dzake, zvakaputsa Murayiro.
REVITIKO 21:10 Munhu, uri muprista mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro pake; akatsaurwa kuti afuke nguwo dzomuprista mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kuvarura nguwo dzake.
MATEO 26:65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba;
Makore makumi matatu nemanomwe akatevera gore AD 70, maRoma akaparadza chiPrista neTembere.
Kereke nehupenzi vaida kutongwa neboka revatungamiriri vane zvidanho, chiprista cheTestamente Itsva chisimo Mumagwaro chinoisa Hurumende pamusoro pevanhu. Vaiita kuti munhu ari musangano asimuke ovatsikirira zvine hutsinye kana kuvadzinga. Sangano rega rega rine mweya umwechete uyu. Vanoramba kugadziriswa nechero munhu.
MaJuda akaroverera Jesu akapandukira vatendi vechokwadi.
MaKristu akasarudzwa kana vanoenda kumakereke vakaroverera Jesu patsva nekuramba Shoko rakaziviswa. Vakatendeukira kuvatendi veBhaibheri vechokwadi kuti vavaparadze nekuroverera nekusvibisa hunhu hwavo.
Nyika yaneta nekuona maKristu achiita hunhu hwakaipa kune vamwe kana vasingatenderane navo. Takasununguka kusawirira pamusoro pedzidziso, asi hazvifaniri kukurudzira kuti tiitirane hunhu hwakaipa. Kurwa pakati pemasangano kwakanga kuri chikamu cherumutsiridzo rwakatanga kudzorera chokwadi cheBhaibheri. Nhasi, soshari medhiya yakawedzera pazvese izvi. MaKristu dzimwe nguva vanovharirana mafesi bhuku nekuda kwekusanzwanana padzidziso. Nyika inotarisa pachideurwa ropa, kupupura kwemaKristu kwosvibiswa.
Kunyengera kwekereke kwakabatana nezvematongerwo enyika neMari Huru.
Makereke akatanga kubatana kuti atiise pamuedzo wekubva paMagwaro
ZVAKAZARURWA 3:10 Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yese, kuedza vanogara panyika.
NGUVA YEKEREKE YEFIRADEFIA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO.8
Airevei paakati “neshoko rokutsungirira kwangu”? Vaheberu 6:13-15 “Nekuti Mwari paakaita chitsidzo naAbrahama, nekuti aikwanisa kusapika neumwe mukuru, akapika Naye, achiti, Zvirokwazvo maropafadzo ndichakuropafadza, ndokuwedzera, ndichakuwedzera.
Saka, mumashure mekushingirira, akawana chivimbiso.
Munoona Mweya uri kutaura pamusoro peShoko raMwari rakapihwa kwatiri. Kuti timirire kuzadziswa kweShoko iroro paidiwa kutsunga chero sezvazvakaita panyaya yaAbrahama. Akashingirira achiona Iye Uyo asingaonekwe. Aive akatsunga Shoko rikasvika pakuzadziswa. Ndiyo nzira inodzidziswa nayo naMwari kuvanhu Vake. Nei, kana akazadzisa Shoko rake pakuratidzira kwepanyama pakarepo pamanamata, hamuzodzidzi kutsunga, asi munotoshaiwa kutsunga pamusoro pehupenyu. Regai ndikuratidzei chokwadi ichi zviri nani.
VaHeberu 11:17
“neKutenda Abrahama, paakaedzwa, kuti ape Isaka, uyo akagamuchira chivimbiso (Shoko raMwari) akapa Mwana wake iye oga.”
Zviripo: Abrahama akaedzwa MUMASHURE mekugamuchira Chivimbiso.
Vakawanda vanofunga kuti kana tikangonamata kunaJesu pamusoro pechivimbiso chakanaka chaMwari kuti hakungavi nekuedzwa. Asi pano rinoti Abrahama akaedzwa mumashure mekugamuchira chivimbiso.
Izvi zvakanaka kana takatarisa Mapisarema anotaura pamusoro paJosefa, 105:19
“Kusvikira nguva ichauya Shoko rake: Shoko raMwari rakamuedza. “
Mwari anotipa zvivimbiso zvikuru zvakanaka. Akativimbisa kuti achazvizadzisa. Achaita sekudaro. Asi kubva panguva yatinonamata kusvika nguva yatinowana mhinduro tinofanira kudziza kugashira kutsunga mumweya yedu nekuti nekutsunga chete ndipo patinowana hupenyu. Dai Mwari atibatsira tadzidza chidzidzo ichi sezvo tichiziva vanhu venguva yechitanhatu vakadzidza kutsunga. Tinoverenga nhorondo yehupenyu hwemaKristu makuru aya; musiyano wakadii watinoona pakati pehupenyu hwedu nehwavo.
Vaive vakatsunga kwazvo vanyerere, nhasi tese tinotaurisa uye hatina kutsunga zvachose uye tiri pamutizo.
Akaenderera mberi achiti kwavari, “Nekuti makatora Shoko rangu mukarirarama mukatsunga, ndichakurwirai kubva panguva yekuedzwa ichauya panyika, kuti iedze vagere panyika.” Zvino pano zvakare tinoona kupenderwa kwenguva mbiri; nekuti chivimbiso ichi chaive nechekuita nemagumo enguva yevaHedeni inogumira munguva yeKutambudzika kukuru.
“Ndichakuchengetai kubva kunguva yekuedzwa, ichauya pamusoro penyika yose, kuti iedze vose vagere panyika.” Vhesi iri harisi kuzadziswa kwekuti kereke yechowadi ichapinda munguva yeKutambudzika kukuru. Kana richireva izvozvo ringadai rakareva saizvozvo. Asi rakati “Ndichakurwirai kunguva yekuedzwa.”
Kuedzwa uku kwakafanana nekuedzwa kwepaEdeni. Kuchava kuita kwakanangana nekupikisa kureva kweShoko raMwari, asi kubva pakufunga kwevanhu zvichave zvakanaka, saka kujekeswa nekupihwa hupenyu kuti hunyengere nyika.
Vasanangurwa chaivo chete ndivo vachatadza kunyengerwa.
Kuedzwa kuchauya sezvinotevera. Mubatanidzwa wakatangwa pane chinoita sechinhu chakakomborerwa chakanakisa.
(Kuzadzisa munamato waKristu kuti tese tive mumwe) unosimbiswa kwazvo pane zvematongerwo enyika zvekuti hurumende inosvika pakumanikidza vose kuti vabatane naye kana kuti vateerere mutemo wakaiswa kuti hakuna vanhu vanozoonekwa semakereke kunze kwekunge vari pasi pesangano rekanzuru. Mapoka maduku anoshaiswa hunhu, mikana nezvimwe zvakadaro. Kusvikira varasikirwa nemidziyo nekodzero dzemweya nevanhu.
Semuenzaniso, ikozvino kunze kwekunge masangano evashumiri abvumirana nazvo mumaguta mazhinji, kana asiri akawandisa acho, hakuna anokwanisa kurenda chivakwa chekunamatira kana kuitira zvechitendero. Kuti uve muparidzi kumauto, kana muchipatara nezvimwe, zvave kumanikidzwa kuti unge uri nhengo yemapoka evanotenda kuTiriniti. Pakuwedzera kwekumanikidzwa uku, uye kuchadaro, zvicharema kuti zvisateverwa, nekuti kusatevera kurasikirwa nemukana. Saka vakawanda vachaedzwa kuti vapinde mazviri, nekuti vachafunga kuti zviri nani kubatira Mwari paruzhinji. Asi vanenge varasika. Kutenda Diaborosi nenhema dzake ndiko kumubatira, chero dai muchida kumudaidza Jehova. Asi vashoma vakasanangurwa havazonyengerwi.
Zvakadaro, vashoma havazongochengetwe, asi kuita uku pakunova “MUFANANIDZO WAKAITIRWA CHIKARA,” vatsvene vachange vasisiko vatorwa mukubwaira kweziso. Kakuita kaduku kanofadza kakatangira pakuwadzana paEfeso aka kachave chikara chaSatani chichasvibisa nekunyengera pasi rese. Nekuti kereke yeRoman Catholic nevemasangano akabuda mairi vakabatana vachatonga pfuma yepasi rese pamwechete vomanikidza pasi rese kupinda muriva rechitendero, kana kuti vanouraiwa. Nekuramba kuti vawane mukana wekutenga nekutengesa kuti vararame. Izvi zvichagonekwa zviri nyore, nekuti vana vemhombwe vose vachaenda kudzokera kwaari. Parizvino, Roma yakabata vanotengesa goridhe vose. MaJuda vane zviwanikwa nemapepa ese. Panguva yakafanira, mhombwe ichaparadza mari iriko nhasi uno nekutora mapepa ose nendarama yose. Pasina ndarama, nhau dzemari dzese dzinowira pasi. MaJuda achatapwa opinda mumubatanidza, mhombwe yotora kutonga pasi rese.
Nguva iyi yainyanya kutarisa kutenda muBhaibheri reKing James Vhezheni. Vakaita vaparidzi vakuru kwazvo vakaita saSpurgeon naD L Moody. Munamato waGeorge Mueller wakasimbisa nekudyisa zviuru zvevana vaive mudzimba dzinochengetwa nherera.
Pakatanga nguva yekereke yechinomwe gore rakapoteredza 1906 pakumutswa kwepaAzusa mLos Angeles, Satani akabvisa kufunga kwevanhu kubva kuBhaibheri reKing James raive rakurira Satani panhandare. Vanhu vaizvifungira, vezivo vakasununguka, nevakatanga komiyunizimu vakatanga kusimuka. Bhaibheri raiturikirwa patsva rakadzikisira kutenda kwevazhinji munguva yekereke yekupedzisira.
Shingirirai kusvika kumagumo musarasa tariro
ZVAKAZARURWA 3:11 Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako.
“Ndinokurumidza kuuya”.
Kuuya kwaShe kuri kuswedzera. Mwari havadi vanhu vanovarairwa. Nguva imwe neimwe inofanira kutenda kuti ndiyo yekupedzisira kuitira kuti vakudze kutsunga kwavo pakubatira Mwari. Kana vanhu vaifunga kuti kuuya kwaMwari kuri kure, vakawanda vanovarairwa vorasika.
“Batisisa”. Kutenda chokwadi nekurarama muhutsvene zvaive zvisina kureruka.
Budiriro yemaindasitiri yakagadzira mishina nekugadzirwa kukuru kwezvinhu. Hupfumi hwakaunganidzwa nemari zvagara zvinozarura masuwo matsva akuti tivarairwe.
Mwari anoda kuti varambe vachienderera mberi. Vakaita hwaro hwepamusoro hwekuzvipira nekuzvibata.
“Kurege kuva nomunhu anotora korona yako”.
Chinotinyengera ndeapo vanhu vanofunga kuti vasvika uye vanoziva zvakakwana. Havasisina chikonzero chekutsvaga Magwaro kuti vanzwisise zvakadzama. Vanozvinyengera kuti kuva nhengo dzekereke dzakanaka ndizvo zvega zvinodiwa. Kuenda kukereke nekutenda chero zvataurwa napasita ndizvo zvinodiwa kugadzirira Kuuya kwaShe.
56-0304 KUITA NZIRA
Oh, hama, sezvamunoona -- muchinzwa dutavarwere ichichema. Pese pamunoinzwa, kuita kwahwo hupenyu kuti takanangako. Pese patinodarika nekumakuva, zviri pachena kuti tiri kunangako. Pese paunoona kuunyana kumeso nebvudzi jena mumusoro, chiratidzo tiri kuendako. Hazvishamisi kuti Pauro akati, netariro, netariro iripo uye yakasimbiswa maari, paakasvika kumagumo kwenzira, akati, “ndakarwa kurwa kwakanaka; ndakapedza basa: ndakachengeta kutenda: saka kwakagadzirwa korona yekururama, Ishe, Mutongi akarurama, achandipa iyo pakupera kwezuva: kwete ini ndoga, asi neavo vose vanoda kuonekwa Kwavo.”
Kana muchinge maneta nekurarama uku, maakuda kuonekwa kwaShe Jesu kudarika kuda kwamunoita chekudya chenyu patafura, kana kuda kwamunoita mukadzi wenyu, kana vana venyu, kana zvadaro kune korona yakakumirirai.
Kwete korona, korona yendarama yavanoisa pamusoro penyu, asi muviri usinganzwi marwadzo.
Kushongedzwa korona mukubwinya kwaMwari, kushongedzwa korona yekusawora yaShe Jesu Kristu.
Mwari neBhaibheri reKing James Vhezheni ndizvo zvinhu zvekutanga muhupenyu hwedu. Kwete kereke naPasita. Nekuti kereke inotibvisa kuBhaibheri reKing James, saka tinopesana nekushandurwa kwemiviri yedu. Muviri usina zvivi, usingawori, usingarwadziwi ndiwo mubairo kana korona yemuKristu.
Nekukoshesa kwavo hutsvene nerudo rwavo rukuru rwemabasa emamishinari, nguva ino inoswedera kumuenzaniso wekutanga wekereke yeTestamente Itsva yakatangwa nemapostora.
Tiriniti yakarasa Zita raMwari kumuita Vanhu vatatu umwe neumwe ane zita rake
munhu mumwe nemumwe muhuMwari anofanira kuva nezita. Saka hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Mwari weTiriniti.
Zita raMwari rakakosha.
ZVAKAZARURWA 3:12 Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, r inoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
mbiru inotakura kurema nembariro nemudhuri wechivakwa. Yakakosha chete kana yakabatana nenheyo. Tinokwanisa chete kuva mbiru mukereke kana takabatana nekereke yeTestamente Itsva yakatangwa nemapostora.
Tinofanira kugona kutakura kumanikidza kwehupikisi.
Ipapo, tobapatidzwa muzita raJesu Kristu sezvakaitwa naPetro musi wePentekositi.
MABASA 2:38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubapatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
“Haachazobuda zvakare”.
Mwari vaida kereke yakatangwa nekuda kweBhaibheri reKing James hayaizoenda kunze kwaro vachitsvaga chero rimwe remaBhaibheri akaturikirwa nekugadziriswa aizoburitswa mumakore ana 1900 kuti arasise vakawanda.
Mamishinari, kuti vakwanise kuita kuti vanhu vaponeswe, vaifanira kukoshesa zvakanyanya zita raJesu nekuti ndiye ega anoponesa.
Saka, kuda kwavo kuzvipira hupenyu hwavo kuti vatendeutse vaHedeni, kwakavaita kuti vagare pedyo nechokwadi apo vanhu vave neshungu dzekubudirira papfuma vairwira zvinzvimbo, simba nemari mukereke. Kana ukaparidza ruponeso, unenge wakamiririra Jesu saMwari pachake.
Mwari weTiriniti haana zita nekuti hamugoni kuwana zita rimwechete revanhu vatatu.
Makore akapoteredza 1900 zvaipinda mupfungwa dzevanhu kuti Jesu Kristu raive zita raMwari Wemasimbaose.
Asi makereke airwa kwazvo nekuda kwezaruriro iyi. Vaya vaitya kutsamwa kwevaparidzi vemakereke vakawira pasi pamberi paMwari weTiriniti kutaura kusimo muMagwaro.
Kutya vanhu kwakura mumakereke kudarika kutya Mwari.
Tarisai zvimwe zvakataurwa zvisimo muMagwaro zvinoshandiswa kutsigira Tiriniti.
“Mwari mumwe muVanhu vatatu”.
“Jesu Kristu ari muhuMwari”.
(VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwehuMwari kunogara maari pamuviri.)
“Mwanakomana asingagimi”. (VAHEBERU 1:5 Nokuti ndekune upi wevatumwa kwaakamboti: Ndiwe Mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka? )
“Mwari Mwanakomana”.
“Mwari Mweya Mutsvene”.
“Vanhu vatatu muhuMwari”.
“Munhu wekutanga muhuMwari”.
“Munhu wechipiri muhuMwari”.
“Munhu wechitatu muhuMwari”.
“Baba neMwanakomana ndevekuita kumwechete”.
“Baba neMwanakomana ndevekukosha kumwechete”’.
“Mwanakomana ndiMwari”. (NUMERI 23:19 Mwari haasi munhu,) (JOHANE 4:24 Mwari Mweya:)
BATISISAI. Ari munhu, Jesu haasi Mwari. Chinomuita Mwari kuzara kweMweya waMwari wakagara maari pamuviri. Saka, Jesu Munhu naMwari zvese.
Zvinhu zviviri pamusoro “paMwari Baba” izvo vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura saka havakuudzei:
“Mwari Baba” zvakataurwa muTestamente Itsva asi hazvina kubvira zvataurwa muTestamente Yekare. Nei?
Ari Baba, Mwari vaive nemazita mazhinji muTestamente Yekare akaita saJehova, Erohimi, nemamwe. Asi hapana pakati peaya riri muTestamente Itsva. Nei?
Jerusarema Idzva ndiwo musha wedu wekupedzisira
“Zita reguta raMwari wangu, Jerusarema Idzva, rinoburuka kubva kudenga kuna Mwari.”
Zita iroro richatsanangura guta repiramidhi guru richatonga pasi rese kana raburuka mumashure meZuva reKutongwa.
Uyu ndiwo musha weMwenga wenguva inouya. Ndiwo mubairo wekupedzisira kune avo vakazvipira hupenyu hwavo kuraramira Mwari neHushe hwake.
“Ndichanyora pamusoro pake zita rangu idzva.”
1965 NGUVA YEKEREKE YEFIRADEFIA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO.8
Zita Rangu Idzva. Zvese pazvichava zvitsva, achazvitorera Zita Idzva Zita iroro ndiro richave Zita reMwenga zvakare. Kuti zita nderekutii, hakuna anofanirwa kurifungidzira. Inofanira kuva zaruriro yeMweya inopihwa pakupedzisira zvekuti hakuna anoedza kuriramba. Asi zvisina kupokana achasiyira zaruriro zuva raachada kupa Zita iroro. Garai makaziva kuti zvichave zvakanakisa kudarika zvataifungira kana zvatingafunge.
Bhuku reNguva dzemakereke rakashambadzwa mugore rekupedzisira rehupenyu hwehama Branham. Vaive vasati vaziva kuti zita idzva raive rekutii. Saka, hazvirevi chinhu kutevera zvese zvavakataura nezvavakanyora kuedza kutsvaga ramunoti zita idzva raMwari.
Kana mukawana zita idzva munenge makumira kushandisa zita raJesu.
Pasina zita raJesu hamuna kwamunowana kuregererwa zvivi zvenyu kureva kuti munenge muri munjodzi huru.
Saka, munofanira kumirira kusvikira miviri yenyu yashandurwa muchipiwa miviri mitsva isina zvivi isingafi. Munenge musisade Muponesi. Munenge makugona kushandisa zita rake idzva.
ZVAKAZARURWA 3:13 Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke
Kukomekedzwa kukuru kuriko pakupera kwenguva imwe neimwe yekereke. Musasairirwa nezvitendero zvekereke. Musasairirwe nevanhu nemazano avo akachenjera. Musasairirwe nevaparidzi vemharidzo vakangwara nekushandisa kwakangwara kwavanoita zvavakabata paitaurwa vachiumba mazano matsva asina kunyorwa muMagwaro.
Izwi reMweya ndiro rinotariswa, anogarokutungamirirai kudzokera kuMagwaro.
JOHANE 16:13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese; nokuti haazozvitauriri pachake,
Chenjerai vanhu pavanozvitutumadza mazuva edu atiri kurarama.