Zuva rekutanga nerechipiri kuna Genesisi akafanana nenguva mbiri dzemakereke
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Nguva yekereke yekutanga chete yakabereka Chiedza cheEvangeri sezuva rekutanga rakaitwa Chiedza. Zvinhu zvikashanduka.
- Nyika yakasikwa yaive yakafukidzwa nemvura negore dema
- Nguva yekereke yekutanga yeEfeso yaive neChiedza cheMagwaro
- Chigadziko chemwenje minomwe chakamiririra nguva nomwe dzemakereke
- Hupenyu panyika hunotsigirwa zvakazara neChiedza chezuva
- Mwari akaisa muganhu pakati pechiedza nerima
- Madeko nemagwanani ndizvo zvaive zuva rokutanga
- Zuva rechipiri rine ruchengetedzo rweDenga
- Tinoda rubatsiro rwevatumwa runobva kuDenga
- Munhu Mumwechete agere pachigaro cheHushe Kudenga
- Muchadenga mucherechedzo wematorero atinoita zvinhu
- Mwari akaita chidzitiro chinochengetedza pakusoro penzvimbo
- Zuva rechipiri harina kunzi rakanaka
Nyika yakasikwa yaive yakafukidzwa nemvura negore dema
Zuva rekutanga rakatipa Chiedza paNyika. Kereke yekutanga yakabereka Chiedza cheEvangeri chakaita kuti vanhu vaponeswe. Vakagonawo kunzwisisa Magwaro. Vakaponeswa senhanho yekutanga kuti vadzidze kuti vanzvere nhau dziri muShoko. Tinoda kufukunura zvinoreva nezvinangwa zveMagwaro kana taponeswa.
Zuva rechipiri rakatipa mamiriro ekunze akatendera kuti hupenyu hurarame panyika. Izvi zvinomiririra rudo rwechokwadi cheBhaibheri chinokuitai kuti mufe kuzvivi zvenyu mozvininipisa kuMagwaro. Asi nguva yekereke yechipiri yakatanga kufamba ichienda nedivi ritsva nekuda kwekusimudzira munhu mutsvene kuti atungamirire kereke.
Zvakadaro, kereke yekutanga chete ndiyo yakagona kuzadzisa zvaidiwa nemo nemo.
Zvakavanzika zveZvisimbiso zvinomwe zvinopa mufananidzo mukuru apo zvinozivisa zvakaipa zvemakereke uyewo zano raMwari raari naro kumaJuda.
Zuva rekutanga rakaona chiedza chezuva chichirova Nyika. Izvi zvakangofanana nemapostora achiparidza Chiedza cheEvaangeri.
kuvaHedeni munguva yekereke yekutanga.
Zuva rekutanga rakatakura chakavanzika chakadzama. Rakagadzirwa nemadekwana nemagwanani. Asi Husiku hwakasiiwa kunze nekuda kwei?
Zuva rechipiri rakatipa nzvimbo yakachengetedzwa. Asi harina kunzi rakanaka nekuda kwei?
GENESISI 1:1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.
Denga rinenge riri Zuva, Mwedzi, Nyika, mapuraneti nenyeredzi.
Nguva haina kutaurwa, saka zvinogona zvakatora mabhiriyoni nemakore.
Zano raMwari rakatangira pakusika zvinhu zvese zvinoonenekwa nekubatika, denga nenyika, kubva pasina.
Denga rinoreva zvakanaka. Rinogona kureva nzvimbo dzemweya dzevatumwa vakapoteredza chigaro chaMwari chehushe. Rinogona kureva nzvimbo dzekunze dzine zuva mwedzi nenyeredzi. Zvinogonawo kureva muchadenga muchamweya.
Vesainzi havagoni kutsanangura chiitiko chekusika.
Hakuna mirairo yesainzi inotsigira kusika.
Vanokwanisa kugadzira chinhu vachishandisa chimwe chinhu. Vanogona kugadzira peturu vachishandisa mafuta eoyiri.
Asi havagoni kugadzira peturu kana mafuta eoyiri kubva pasina, nekuti uku ndiko kusika.
Vesainzi havagoni kusika simba kana nguva kubva pasina. Vanongofungira huvepo hwesimba nenguva asi havagoni kutsanangura kuti zvakavepo sei kana zvakatangira pasina chinhu.
Vesainzi havagoniwo kutsanangura kuti miraiyiro yefizikisi yakavapo sei.
Chiedza chinhu chisingajairiki. Hamugoni kuona chiedza sezvo chichifamba nemuchadenga nekuti muchadenga mune rima.
Munogona kuona chinhu chinotipa chiedza, Zuva. Ipapo hakuna chimwe chamunozoona kunze kwechinhu chinoratidzira chiedza. Saka Mwari ari kutsvaga vanoratidzira chiedza.
Chiedza chinotakura mufananidzo wechinhu chekupedzisira wachadarika nepachiri.
Kune tsime rechiedza rimwechete, zuva. Izvi zvinomiririra Jesu anova Shoko raMwari.
Ndiye ega tsime rechiedza chedu cheMweya.
Mwedzi unomiririra kereke apo inoratidzira chiedza chezuva kunyika iri murima rehusiku.
Husiku mucherechedzo wezvivi nekusatenda.
Mwedzi hauna chiedza chawo pachawo.
Saka, Mwari anoda kuti nguva yekereke yekutanga iratidzire Magwaro. Pasina mazano avo vega akachenjera.
Vanhu vanoponeswa nekuratidzira zvakanyorwa muMagwaro, kwete nekuedza kungwara kuti vafadze vamwe.
GENESISI 1:2 Nyika yakanga isina kugadzirwa, isinechinhu, rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika. Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura.
Mosesi aive achiona kusika uku kwese kuchibva pasina muchiratidzo. Anoona pamusoro penyika achiona kuti yaive mvura yose. Hupenyu hwevanhu hwaizoda mvura kumberi, saka Mwari vaive vaita kuti mvura ifanovepo.
Tinodzidza hunhu huviri hwaMwari. Vanosika uye vanokwanisa kusika chinhu chitsva chinofanirana nemamiririro akasiyana enguva imwe neimwe yenguva nomwe dzemakereke.
Mwari vanofamba nechiprofita. Vakagadzirira zvichaitika nguva inouya.
Asi mvura zhinji iyi yaive yakafukidza chiso chenyika yaive isina chimiro kana mufananidzo.
Yaive yakati tsepete pasina makomo nemapani. Zvakangofanana nekubhururuka pamusoro pegungwa zvinoratidza kunge uri pamusoro penzvimbo isina chinhu, pasina kana zvimisikidzo zvezvinhu zvepanyika.
Saka, kunzwa kunge munhu arasika murima mugungwa risina chinhu. Runoita serwendo rwusingarevi chinhu.
Mwari ega ndiye anokwanisa kupa rudzi rwevanhu gwara nechinangwa chekuraramira.
Nei paine rima? Zuva raive rasikwa richitopenya. Asi chiedza charo hachina kusvika pachiso chenyika.
Mvura inopwa kuti inogadzira makore uye makore akakora anoitwa pamusoro pechiso chemvura akanodzikatira zuva.
Pasi pemakore paive paine rima guru. Saka pamusoro pemvura paizova rima rega.
Kana mukaona mufananidzo wepedyo wechidimbu chidiki chegore rakapoteredza nyika, rinenge rakaita seizvi.
Gore rakakora rakadzikatira zuva rese.
Pasi pemakore paive paine rima guru.
Hupenyu hwaisararama panyika nguva iyi. Paive nemakore akakora, rima guru, nemvura dzakadzama dzaivepo.
Mwari vaifanira kushandura zvinhu sekutamba.
Chiitiko chinopa hupenyu chimwechete chakabva kuna Mwari.
GENESISI 1:2 Mweya waMwari wakanga uchifamba uri pamusoro pemvura.
Mweya wake waifamba paaidyara mbeu yehupenyu hwenyika muvhu renyika riri pasi pemvura, pasi perima regore dema. Mbeu idzi dzaive dzisina chekuita kunze kwekunge dai Mwari akadzibvisira zvipingaidzo zvaizodzitadzisa kumera.
Chiitiko ichi pamweya, chinomiririra vanhu vaMwari vakaberekwa murima rezvivi nekusatenda votarirwa kufa negehena kunze kwekunge Mwari apindira kuti avaponese.
Mbeu dzaigona kusamera pachadzo muzviitiko izvi. Kana kugona kuzviponesa kubva kugehena zvisinei nekuti taedza zvakadii. Mwari vanofanira kushandura zvinhu nekuti ndivo voga vanokwanisa kutiponesa.
Ngatichitarisai nguva nomwe dzemakereke muchiedza chemazuva manomwe aMwari paakaita shanduko huru nomwe dzakagonesa hupenyu kuti huvepo panyika.
Nguva yekereke yekutanga yeEfeso yaive neChiedza cheMagwaro
Nyika yaive yakafa kusvikira Mwari vatanga kufamba.
GENESISI 1:3 Mwari akati chiedza ngachivepo: chiedza chikavapo.
Shoko raMwari rakataurwa rakarova makore rikamaparadzira.
Ndiko kuponeswa kwatinoitwa.
Takaberekwa tine chidzitiro chekusatenda chakaputira moyo yedu. Mwari paanotitongera zvivi, Shoko rake rinoparadza chidzitiro chezvivi togona kuona Zuva remweya, Muponesi wedu Jesu.
Gore dema remvura dzaipwa rakashandurwa naMwari kuitwa magasi asingaonekwi akaita sehaidhirojeni neokisijeni.
Chiso chenyika chaive chakukwanisa kufara nekupembera muhuvepo hwezuva apo mvura dzakapwa dzaishandurwa kuita magasi asingaonekwi.
Zuva rekutanga iri raive musi weSvondo, zuva rakatanga nyika kuona zuva.
Kwaive kuratidzirwa kwezuva raPentekositi raive rechimagwana (zuvarakatevera) Sabata remusi weMugovera.
Zuva rakatevera Sabata remusi weMugovera raive Svondo.
REVITIKO 23:15 Zvino munofanira kuverenga kubva Pamusi unotevera Sabata, Kubva pamusi wamakavuya nawo nechisote chinozunguzirwa; masabata manomwe.
Sabata izuva rechinomwe. Masabata manomwe anoita 7 x 7 = mazuva 49
REVITIKO 23:16 munofanira kuverenga mazuva makumi mashanu usvikira Pamusi unotevera Sabata rechinomwe; Ipapo munofanira kupa JEHOVA chipiriso chitsva chovupfu.
Musi unotevera Sabata rechinomwe isvondo zuva rechimakumi mashanu, zvinoreva kuti iPentekositi.
(MuchiGiriki pentecostē, “zuva rechimakumi mashanu”).
Saka, Mweya Mutsvene wakaburuka neMoto musi weSvondo kuti uzadze nekukurudzira vadzidzi nevateveri vavo vaive muimba yepamusoro.
MABASA 2:3 Zvino kwakaonekwa kwavari ndimi dzakaparadzaniswa sedzemoto, ndokugara pamusoro peumwe neumwe wavo.
4 Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene,
Waive musi wakatanga kereke yeTestamente Itsva. Vanhu 120 varume nevakadzi vaive muimba yepamusoro vakaona chiedza cheTestamente Itsva. Makore ekukakavara kwavo nekusaenda akava atsakatika.
Petro akaparidza vanhu 3000 vakaponeswa musi wekutanga wakatanga kupararira chiedza cheEvaangeri.
Chiedza chezuva chekutanga chakarova chiso chenyika apo makore akasviba akaparadzwa akaparadzirwa neShoko raMwari raakataura. Uyu mufananidzo wakanaka wemapostora achiparidza chokwadi cheBhaibheri pavaiparadzira nekuparadza gore rekusaziva kwemapegani rakanga richitonga vanhu.
MABASA 2:38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
40 Uye nemamwe mashoko mazhinji, akapupura akakurudzira, achiti: Muzviponese pazera iri rakashonyoroka.
41 Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabapatidzwa; uye nezuva iro vakawedzerwa mweya inenge zviuru zvitatu.
Chigadziko chemwenje minomwe chakamiririra nguva nomwe dzemakereke
Chigadziko chemwenje minomwe chaive muTabernakeri yemaJuda.
Chaimiririra nguva dzemakereke manomwe dzaiuya.
Tafura yechingwa chekuratidzira yaive nezvingwa gumi nezviviri yaimiririra marudzi gumi nemaviri aIsraeri anogamuchira Evangeri pakupera kwenguva dzemakereke.
Musi wePentekositi waive musi wakatungidzwa mwenje wepakati, kana takatarisa kereke.
Mwenje mitatu yaive kune rimwe divi remwenje waiputa nemwenje mitatu zvakare yaive kune rimwe divi. Saka, menje wepakati uyu, waimiririra nguva yekereke yekutanga yefeso, nguva yekereke yakanyanya kukosha.
EKSODO 25:31 Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka: chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namafundo acho, namaruva acho; zvese ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho.
32 kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; mativi matatu echigadziko kunorumwe rutuvi rwacho, namatavi matatu echigadziko kunorumwe rutivi rwacho.
Chatinoti chigadziko chemwenje minomwe chaive mwenje wepakati waive nematavi matanhatu kumativi awo.
Mwenje wepakati uyu ndiwo wega wakaonekwa Jesu ari pauri.
ZVAKAZARURWA 1:13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu,
Nguva yekereke yekutanga ndiyo muenzaniso mukuru wezvinofanira kuita kereke. Ndiyo kereke yatinifanira kushingirira kutevera.
Ruponeso rwakakosha. Asi inheyo dzatinofanira kuvakira zaruriro dzezvakavanzika zveBhaibheri, nekufanana nekereke yekutanga.
JUDASI 1:3 Vadikanwi, ndichiita kushingaira kwese kukunyorerai zvekuponeswa kwedu tese, zvakange zvakandifanira kukunyorerai, ndichikurudzira kuti murwire rutendo rwakapiwa vatsvene kamwe.
Ruponesi ruriko kwese kuvasikana vakachenjera nevasikana mapenzi.
Kuponeswa kunotidzivirira kubva pakuenda kugehena.
Asi tinoda kuziva chokwadi cheBhaibheri rakaziviswa kuti tidzivise zvakaipa zvekereke zvinotiendesa kunguva yeKutambudzika kukuru sevasikana mapenzi.
Hupenyu panyika hunotsigirwa zvakazara neChiedza chezuva
Hupenyu husingagumi hunobva kuna Jesu Kristu.
Jesu Kristu ndiye Ishe.
MABASA 10:36 Shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza rugare naJesu Kristu (iye ndiIshe wevese).
VAEFESO 4:5 Ishe umwe
II VAKORINTE 3:17 Zvino Ishe ndiye Mweya;
Saka, Jesu saIshe ndiye Mweya Mutsvene wakaburuka Musi wePentekositi kuti utange kereke inozovapo kwemakore 2000.
JOHANE 14:17 Mweya wechokwadi, iyo nyika yausingagoni kugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva. Asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
Mweya wechokwadi waive ugere navo paaigara muna Jesu.
Ipapo mweya wechokwadi uchava mukati mevanhu vake.
MATEO 1:23 Tarira, mhandara ichava nemimba, igobereka Mwanakomana, uye vachatumidza zita rake Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari anesu.
Jesu akagara nemapostora paaivadzidzisa.
Ikozvino anogara mukati mekereke yake painopararira nepasi rese.
Jesu ndiye Chiedza chenyika.
JOHANE 8:12 Naizvozvo Jesu wakataurazve kwavari, achiti: Ini ndiri chiedza chenyika;
MAPISAREMA 119:105 Shoko renyu ndiro mwenje wetsoka dzangu; nechiedza panzira dzangu.
Jesu ndiye Shoko.
JOHANE 1:14 Shoko ndokuzova nyama,
Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotiudza ndangariro dzaJesu.
Hatigoni kuda Jesu kunze kwekunge tichida ndangariro dzake. Zvatinotaura pamusoro peBhaibheri ndizvo zvatinotaura pamusoro paJesu.
Kana tikatuka Bhaibheri, tinenge tichituka Jesu.
ISAYA 8:20 Dzokerai kumirairo nokuzvipupuriro! Kana vasingatauri sezvinoreva Shoko iri, havangavi nechiedza chamangwanani.
Vatendi vechokwadi vanoda kuziva zvinotaura Magwaro chete.
II Petro 1:19 Uye tine shoko rakasimba kwazvo rechiporofita, ramunoita zvakanaka muchirichenjerera sekumwenje unovhenekera panzvimbo ine rima, kusvikira utonga huchitsvuka, nenyamasase ichibudira mumoyo yenyu;
Chiprofita zvinoreva kuti Mwari achatiudza pamusoro penguva nomwe dzemakereke zvisati zvaitika.
Chiedza nerima zvakawana nzvimbo yazvo.
Chiedza ndeapo pamunotarisana neZuva. Rima ndeapo pamunenge musingaoni Zuva.
Rima hachisi chinhu chinobatika, ndeapo panenge pasisina Chiedza cheBhaibheri.
Rima harigoni kuparadza chiedza chero chiduku duku.
Pane nzira mbiri dzevanomwe muMagwaro.
Nguva nomwe dzemakereke dzinotsanangura nhorondo yekereke yakaita mavambo akanaka ikazodzima muNguva dzeRima. Yakazotanga kudzokedzana munguva yeRumutsiridzo pakaponeswa nekuparidzirwa hutsvene nenguva yemamishinari. Pentekosiri yakadzorera zvipo zvemweya unoshamisa asi vakaramba zaruriro yeMagwaro yakaziviswa naWilliam Branham.
Zvisimbiso Zvinomwe zvinokoshesa kusimuka kwekuipa mukereke. Hunyengeri hwechitendero, simba rezvematongerwo enyika, nekusimuka kweBhizimusi guru mukereke zvekuti zvese zvinoperera munguva yeKutambudzika kukuru apo vasikana mapenzi vakaponeswa vanouraiwa.
Chisimbiso chechishanu chinoenda mberi kumaJuda akafira Shoko Chisimbiso cheChitanhatu kumaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru.
Chisimbiso cheChinomwe ndiko kuuya kwaShe kunotora kereke yake nekuzouya kumaJuda 144,000.
Nguva yekereke yekutanga ine chiedza chakakura kubva kumapostora asi, zvinoita sezvisingaonekwi, mweya waantikristu waive watanga kutasva kwawo murima nekuisa zvinhu zvenyika pakati pevanhu neZuva, Chiedza cheShoko raMwari. Pakutanga rima riri mukereke yeRoma raiita seduku, asi mumashure merufu rwemapostora rima rekusatenda rakasimuka kunotonga kereke yeRoma. Chipegani chakapfekedzwa nguvo dzechiKristu apo chakatora nzvimbo mukereke. Kusvika nhasi uno 25 Zvita zuva rechipegani, muti weKisimusi, Chishanu chakanaka, mazai eIsita, mabhani eIsita, maRenti, zvichiri kutonga ndangariro dzevanhu mukereke.
Santa zvinoita sekuti zvisina chakaipa chazvinoita kusvikira mabvisa N pakati momuisa kwekupedzisira kwezwi iri. Rinobva raita Satani.
VAEFESO 2:7 kuti nenguva dzinouya aratidze fuma hurusa yenyasha dzake muunyoro kwatiri muna Kristu Jesu.
Chero zvakaipa zvakagona kufungwa naSatani munguva dzakasiyana nemakereke, kwaigarova nevamwe vaisarudza kuramba vachitevera Magwaro saka vaisanyengerwa nezvakaipa zvekereke.
VAEFESO 2:8 Nokuti nenyasha makaponeswa nerutendo, uye izvi hazvibvi kwamuri; chipo chaMwari;
Kutenda muShoko raMwari rakanyorwa kwakakoshera ruponeso. Nyasha dzaMwari ndedzekuti anotipa kutenda kuti titende muMagwaro, kana tichida kutenda.
GENESISI 1:4 Mwari akavona chiedza kuti chakanaka: Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Chiedza chaMwari chakanaka. Shoko raMwari ndiro chiedza chinotiratidza nzira yaanoda kuti tifambe nayo.
Rima kushaikwa kwechiedza.
Kutaura zvinhu zvisiri muMagwaro.
Ndiwo muganhu unopatsanura.
Zvamunotaura zvinobva muBhaibheri mazvakanyorwa kana kuti hazvisi muMagwaro.
Mazwi asimo muMagwaro anomiririra dzidziso dzenhema. Nhau dzekunyepa. Nhema.
ZVIREVO 30:5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa.
Uku ndiko kwaive kuita kwekereke yekutanga. Vainzvera zvinhu zvese.
Magwaro ese akanyorwa aionekwa akanaka. Chokwadi chikuru.
MABASA 17:10 Zvino pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi kuBheriya neusiku; vakati vachisvika vakabva vakaenda musinagoge reVaJuda.
11 Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.
Havana kungogamuchira zvakataurwa naPauro naSairasi. Vaida kunzwa vonzvera neMagwaro.
Ichi ndicho chinhu chaive chakakosha mukereke yekutanga. Rudo rwavo rukuru rwekutevera Magwaro.
Vaiongorora munhu wese aiparidza. Aive nenhamo uyo aitaura zvinhu zvisimo muMagwaro. Waizongodaidzwa murevi wenhema.
ZVAKAZARURWA 2:2 achiti: Ndinoziva mabasa ako, nekuremerwa kwako, nekutsungirira kwako, uye kuti haugoni kumirisana nevakaipa, uye wakavaidza ivo vanoti vaapositori asi vasiri ivo, uye wakavawana vari varevi venhema,
Vaisakwanisa kuteerera vakaipa.
Vaitambira kurenezvese zvaive zvisiri zveMagwaro. Vaive nemuganhu wakajeka pakati peChiedza neRima. Zvakanaka neZvakaipa.
Mwari akaisa muganhu pakati pechiedza nerima
GENESISI 1:4 Mwari akaona chiedza kuti chakanaka: Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Rima raive kushaikwa kweChiedza. Kushaikwa kweMagwaro.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, neni andinovenga.
Mweya wavaNikoraiti waive rudo rwekusimudzira munhu mutsvene pamusoro pesangano rese kana kereke.
Kereke yekutanga yaivenga pfungwa iyi apo munhu mumwechete aizova musoro wekereke.
Sangano rimwe nerimwe repanzvimbo raifanira kutungamirirwa nevakuru vepanzvimbo.
Pauro akadana vakuru vekereke vepaEfeso kuguta reMireto uko akanovaudza kuti vave vatariri vaifudza boka.
MABASA 20:17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.
MABASA 20:28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.
29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;
Asi mumashure mekufa kwaPauro nemapostora, vanhu vaive neshungu dzekutonga vakasimuka kuti vatore nechisimba hutungamiri hwekereke.
MABASA 20:30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
Makaro ekuda mari aisundwa nekuzvikudza nekuzvitutumadza, vanhu vakashingirira kukwezva vanhu kwavari pavaisunda kuti vave munhu mumwe anotungamirira kereke.
Chimisikidzo chekereke chakaitwa nevanhu ichi chaidzikisira chiedza chakawanikwa nemapostora ekereke yekutanga yaifambiswa nevakuru vepanzvimbo.
I PETRO 5:1 Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa.
Petro aida kuti vakuru vekereke panzvimbo vaparidze nekudzidzisa nekudaro vaifudza boka.
Petro akazvidaidza kuti mukuru. Haana kuedza kufadza vanhu nechinzvimbo chake chehupostora.
I PETRO 5:2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,
Chaive chisiri chimisikidzo chekuita nacho mari kumunhu mumwechete aitungamirira kereke chaaizopa kumwana wake, zvoita kuti kereke ive bhizimusi remhuri.
I PETRO 5:3 kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.
Kwaive kusingafaniri kuva nemunhu mumwechete akakosha anoita musoro wekereke.
Pfungwa iyoyo yakaziviswa mumashure mekufa kwemapostora. Yakaita chokwadi chekuti vanhu vakabvisa meso avo paMagwaro kuti vasimudzire vanhu vaitungamirira.
Munhu mumwechete anotungamirira akadzima mwenje wechokwadi mukereke yechipiri yakatanga gore rinenge AD 170.
Kereke yaizofama kupinda murima yodzima apo inoratidzira Magwaro mashoma, pachinzvimbo chekupinda muchiedza cheMagwaro.
Nguva yekereke yeechipiri yaive ichiri nechokwadi chakawanda chaive chakafanana necherudzi rweShumba yaJuda, Jesu Kristu.
Vaive vachirasikirwa nerudo rwavo rwekutanga rwekutungamidza Magwaro.
Vaive vatanga kuteerera mabhishopu eguta akasimudzirwa. Ichi chinzvimbo chisimo muMagwaro zvachose.
Madeko nemagwanani ndizvo zvaive zuva rokutanga
GENESISI 1:5 Mwari akatumidza chiedza akati masikati, rima akaritumidza akati vusiku.
Madeko akava’po namagwanani akava’po, zuva rimwe.
Ichi chunhu chakadzama chekuti madeko nemagwanani zvinoita zuva rimwe.
Tinoziva zuva riri masikati nehusiku.
Bhaibheri, zvakadaro, rinosiya zvese “masikati” “nehusiku” kubva pakutsanangura kwaro zuva rimwe. Nei?
JOHANE 9:4 Ndinofanira kushanda mabasa ewakandituma achiri masikati; usiku hunouya, apo pasina munhu angagona kushanda.
“Husiku” mucherechedzo wemakore matatu nehafu enguva yekutambudzika kukuru pakunenge kusina ruponeso rwevaHedeni.
II PETRO 3:10 Asi zuva raIshe richasvika sembavha usiku, naro matenga achapfuura nekutinhira kukuru, nezvekutanga zvichaguranyiwa nekupisa kukuru, nenyika nemabasa ari mairi achapiswa.
Uku kutsanangurwa zvakanaka kwebhomba renyukiriya kana mamiziri anoputika mazana emamita pamusoro penyika anozoita madutu emoto anopisa kudarika pakati pezuva. Asi kuri simba rekuparadza zvakazara richapisa nzvimbo zhinji dzenyika.
“Husiku” mucherechedzo wenguva yakaipisisa iyi munhorondo yevanhu.
DANIERI 12:1 Ipapo nguva yenjodzi ichava’po isina kumovapo kubva pakumuka kwamarudzi avanhu;
ISAYA 57:1 Wakarurama unoparara asi hakunomunhu une hanya nazvo: navanoda Mwari vanobviswa, kusinomunhu unorangarira kuti vakarurama vanobviswa pazvakaipa.
Nguva yeKutambudzika kukuru ichava yakaipisisa kwazvo kuMwenga. Jesu achauya kuzovanunura ovatora kuenda Kudenga nguva yeKutambudzika kukuru isati yatanga. Tinodzidza Magwaro ikozvino kuti tizive zvakakwana kuti tidzivise zvakaipa zvekereke togadzirira Kuuya kwaShe.
Hakuna kana umwe weMwenga achava panyika munguva yeKutambudzika.
Zvakadaro, Mwari paakatsanangura “zuva” zvinomiririra chiedza akasiya izwi rekuti “husiku” nekuti Mwenga wake achange asisiri panyika mukati memakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika yakafanana negehena.
MuDenga idzva neNyika itsva kuchange kusina husiku.
Ndangariro dzakaomarara dzenguva yeKutambudzika dzichakanganwikwa zvachose.
ZVAKAZARURWA 21:25 Zvino masuwo aro haangatongopfigwi masikati, nokuti usiku hahuchazovipo.
Jerusarema Idzva iPiramidhi guru rina Mwari agere pamusoro paro. Mwenga waShe wese achave muchiedza chake.
ZVAKAZARURWA 22:4 zvino vachaona chiso chake; nezita rake richava pahuma dzavo.
Pahuma dzenyu pane pfungwa dzenyu. Muchaziva Zita raMwari. Harisi kuzovigwa nezvinzvimbo zvitatu Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene.
ZVAKAZARURWA 22:5 Zvino usiku hahuchazovipo ipapo, uye havatsvaki mwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari anovapa chiedza; uye vachatonga kusvikira rinhi narinhi.
Mweya Mutsvene, Anova Hupenyu, anosiya nyika paanotora Mwenga kuenda naye Kudenga paKuuya kwaShe.
VAROMA 8:10 Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wakafa nekuda kwechivi, asi mweya upenyu nekuda kwekururama
Rufu runopinda chete kana hupenyu hwaenda.
Rufu hachisi chinhu. Rufu kushaikwa kweHupenyu chete.
ZVAKAZARURWA 6:8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.
Mweya iwoyo waantikristu ndiwo mutasvi, wakazoziviswa uri Rufu.
Kukwira Kudenga mukubwaira kweziso kunoitika apo mwenga atorwa akwira Kudenga nguva yeKutamudzika kukuru yotanga panyika nekuvasikana mapenzi vakakanganwa kutevera Magwaro.
GENESISI 1:5 Madeko akava’po, mangwanani akava’po, zuva rimwe.
Zvinosuwisa, hapana kutaurwa kuti “masikati” zvinoreva kuti chiedza chemasikati pakutsanangura uku. Nei?
Rufu rwakaipisisa rwunonzwisa tsitsi zvakanyanya rwakatongerwa Chiedza chenyika, Jesu.
Zuva remaJuda rinotanga panobuda zuva na6:00. Awa ravo rechitanhatu raive maawa matanhatu aizotevera ava masikati.
Rufu rwunorwadza irworwo rwaive rwakaipisisa zvekuti zuva rakaramba kupenya kwemaawa matatu kubva masikati kusvika na 3:00. Kwaive kusiri kuwora kwezuva nekuti kuwora kwezuva kwakarebesesa kunotora maminetsi 7.5.
MATEO 27:45 Zvino kubva paawa rechitanhatu kwakava nerima panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.
Zuva rechiJuda rinotanga na6:00 mangwanani. Zuva rechiRoma rinotanga pakati pehusiku.
Kuparadzwa kwehutsinye kwakadzima Chiedza cheShoko, kwakasvibisa zvachose nhau yechiedza chemasikati. Raive zuva rakaipisisa remarwadzo nekusunungurwa madutu emadhimoni, zvinomiririrwa nerima.
Rima rakatanga masikati. Rima rakakurira chiedza chemasikati kwemaawa matatu. Zvakaita sekuti Satani aive akurura.
Izvi zvinorwisa chokwadi nekuti, kazhinji, rima harigoni kuparadza chiedza.
Pakati pezuva nemasikati zvakasvibiswa zvakazara. Kuuraya Jesu kwaipikisa Chiedza neHupenyu.
Saka, chikamu chezuva chinodiwa naMwari kuti chirangarirwe sechiedza chake chechokwadi ndechipi?
Mangwanani.
Nguva yekereke yekutanga yakavakirwa pasimba rerumuko rwakaitika mumashure merufu rwaJesu rakaripira zvivi zvenyika.
Nguva yekereke yekutanga iyoyo yakatambira chokwadi kubva kumapostora vakatanga kereke panheyo dzeTestamente Itsva.
Vakatanga nerumuko nerubapatidzo muzita raJesu Kristu rwakateverwa nerubapatidzo rweMweya Mutsvene rwakavagonesa kudzidza chokwadi cheMagwaro. Ndiyo yaive mharidzo ine simba yavakaparidza pasi rese.
Vakanzvera Magwaro mazuva ese kutsvaga kuti vaparidzi vaive vachivadzidzisa kuva muMagwaro here.
Simba rekereke yekutanga raive kuzvipira kwavo kuShoko raMwari. Aya ndiwo aive mangwanani enguva dzemakereke. Mwari aifara nekereke yekutanga yaitevera Magwaro zvakazara.
Asi hutungamiri hwevanhu hwakabva hwapindira kereke ikatanga kutevera zivo yevanhu.
Kereke yakafa munguva dzeRima ikatanga kuzomutsiridzwa muRumutsiridzo rwaMartin Luter.
Bhaibheri reKing James rakaturikirwa rikaongororwa kwemakore anoda kuita 160 rikashambadzwa seChokwadi chikuru.
Hutsvene hwaJohn Wesley nekuparidzira zvakatungamirira kupinda munguva huru yemamishinari.
Rumutsiridzo rwePentekositi rwakatanga muWales muna 1904 nemuMugwagwa weAzusa muLos Angeles, kuAmerica muna 1906.
JOHANE 4:24 Mwari Mweya; neavo vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.
Rumutsiridzo rwePentekositi rwezvipo zveMweya rwaifadza, asi rwaive rwusina kukwana.
Vakatanga kutaura nendimi asi havana kuenderera mberi kunotsvaga zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri.
Asi Mwari vaida kuti kereke ifanane nembeu yekutanga yakadyarwa pakutanga. Ipapo ndipo panozouya goho.
Zvichava rini?
ZEKARIA 14:7 Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJEHOVA, hapangavi namasikati kana vusiku: asi nenguva yemadekwana chiedza chichavapo.
Vhesi iri rinotaura pamusoro penguva dzakakanganisika dzinenge dzisiri masikati kana vusiku. Dzisiri Magwaro akazara uye dzisina kurasikawo paMagwaro zvakazara.
Izvi zvinotsanangura chimiro chemaKristu mukereke nhasi. Vanoziva zvakakwana kuti vaponeswe nekurarama muhutsvene. Vakasangana nesimba reMweya Mutsvene. Asi havana ruzivo zvachose pamusoro pezvakavanzika zveMagwaro.
JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya: vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nezvokwadi.
Saka, Mwari akasimudza muprofita muAmerica, William Branham, aizozivisa zvakavanzika zveMagwaro zvichatidzorera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga.
MATEO 17:11 Akapindura (Jesu) akati: Eria uchavuya hake avandudze zvinhu zvose.
“Madekwana kuchava nechiedza.”
Chiedza chimwechete chichagashirwa naMwari chinouya madekwana. Ndipo Mwenga kubva munguva nomwe dzemakereke anodzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yakavambwa nemapostora.
Kana nguva yekereke yekutanga neyekupedzisira dzafanana, kunouya rumuko Mwenga waKristu anenge ari panyika. Ndiye chiedza chechokwadi.
Mwari anenge agadzirira Zuva Rake apo Jesu neMwenga wake vachatonga nyika kwemakore 1000 muMereniyamu.
II PETRO 3:8 Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe.
Izvi hazvisi kuzoitika kusvikira Mwenga wake wemangwanani amuka nevamwe vatsvene vose kuti vasangane neMwenga wemadekwana.
Zuva rechipiri rine ruchengetedzo rweDenga
Zuva repiri iri iZuva rakaoma kutsanangura. Iduku kwazvo, mavhesi matatu chete.
Chikamu chakaomesesa ndechekuti izwi rekuti “chakanaka” rinotaurwa. Asi, zvese zvinoitwa naMwari zvakanakira isu.
“Chiedza” chakarova nyika Zuva rekutanga.
Chiedza ichi chinoreva zvinhu zviviri. Chiedza chezuva kuti tione zvinhu. Kwoita Chiedza cheMweya kuti tione zvinoreva Magwaro atinoverenga.
Tinokwanisa kunyengerwa zviri nyore nemweya yakaipa iri mumunhu anoratidzika zvakanaka. Asi Jesu akapa munhu aive bofu maonero emweya kuti aone kuti mweyayi yaive muvanhu.
MARKO 8:24 Iye [ofu] akatarira akati: ndinovona vanhu ndinovavona vachifamba vakafanana nemiti.
Mweya wemunhu asina kuponeswa unoratidzika semuti wakafa usina mashizha kana zvibereko. Amire kunze kwerwizi rwehupenyu.
Munhu akaponeswa anoratidzika semuti une mazhizha sechiratidzo chehupenyu. Anoziva mamwe Magwaro asi ruzivo rwake rwushoma. Ava ndivo vasikana mapenzi vakaponeswa asi vakanyengerwa nedzidziso dzemakereke avo.
Kana munhu akaponeswa akararama hupenyu hutsvene mweya wavo unoita semuti une mashizha akawanda. Akadzidza Magwaro akawanda vakafamba vakapinda murwizi rwehupenyu rwakadzama. Asi mamwe mapazi akafa anotaura pamusoro pekuresva kwedzidziso dzekereke. Chikonzero nei kuine ndudzi 45,000 dzemakereke dzakasiyana siyana.
Munhu anogamuchira rubapatidzo rweMweya Mutsvene anogona kufamba kupinda pakadzama muRwizi rweHupenyu ( Bhaibheri) asi achiri nemapazi akafa edzidziso dzakaipa kana kusaziva Bhaibheri. Asi anoratidza zvibereko zveMweya.
JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya: vanomunamata vanofanira kumunamata muMweya nezvokwadi.
Kuita Mweya kwakanaka asi tinofanira kuramba tichidzidza zvakasimba kuti tinzwisise Bhaibheri.
II TIMOTIO 2:15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi.
Kana tisinganzwisisi zvakavanzika zveBhaibheri, Mwari vanenge vasati vatitendera.
DANIERI 12:11 ... asi vakachenjera vachanzwisisa.
Hatigoni kuva chikamu chevasikana vakachenjera kunze kwekunge takugona kunzwisisa Magwaro.
Vasikana vakachenjera chete kuna Mateo Chitsauko 25 ndivo vane mafuta akakwana mumwenje yavo kuti vatungidze mwenje vaone zvakavanzika zveMagwaro.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene rwunogonesa kudzidza zvakasimba kuti tigone kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro. Kana tisingagoni kunzwisisa Bhaibheri hatigoni kutaura kuti takazadzwa neMweya.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika; iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose: Nokuti haangatauri zvake;
“Nokuti haangatauri zvake”. Hatigoni kunzwisisa Magwaro nehuchenjeri hwedu vanhu hwenyama.
Hatifaniri kuzvitutumadza nezvedu.
Mweya Mutsvene ndiwo unotigonesa kunzwisisa Bhaibheri. Tinofanira kudada naye.
Uku ndiko kuratidzika kunoita munhu akazadzwa neMweya kana achigona kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro sezvo achikwanisa kutuhwina mumvura dzakadzama. Anoratidzira zviereko zveMweya.
Mumashure mekuponeswa nekurarama muhutsvene, anogamuchira Rubapatidzo rweMweya Mutsvene runomugonesa kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro.
VAEFESO 1:3 Nemwi muna iye, manzwa shoko rechokwadi, evhangeri yeruponeso rwenyu; kuna iyewo matenda kwaari makapiwa mucherechedzo neMweya Mutsvene wechivimbiso,
JOHANE 16:13 Asi kana asvika; iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose:
Mweya waMwari mumunhu ndiwo wakakosha kwete iye munhu pachake.
Tinoda rubatsiro rwevatumwa runobva kuDenga
Tinoda rubatsiro runobva Kudenga, kubva kuhutungamiriri hweMweya Mutsvene. Tinonawo rubatsiro rwevatumwa.
Kuti tikwire kumusoro zvinhu zvakaoma. Eria aida ngoro yemoto ine mabhiza emweya nevatasvi vawo kuti imubatsire. Uyewo chamupupuri kuti chimubatsire kuti chimusumudze. Chamupupuri chinotaura pamusoro penguva dzakaoma dzinotyisa.
Vatumwa vaviri vakabatsira Roti kubuda muSodoma isati yaparadzwa.
Abrahama akatumira shoko kuti atsvagirwe mukadzi wemwana wake wepanyama Isaka. Mucherechedzo weMwana waAbrahama weMweya Jesu achitsvaga Mwenga.
Mwari akatumira mutumwa pamberi penhume kuti amutungamirire kunowana mukadzi akanaka.
GENESISI 24:7 JEHOVA Mwari wokudenga, wakandibvisa paimba yababa vangu, nomunyika yokuzvarwa kwangu, wakataura neni, akandipikira, achiti: Nyika ino ndichapa vana vako; Ndiye uchatuma mutumwa wake pamberi pako Kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.
Mwari akapika kumutumwa kuti achatungamirira Mosesi kuenda kuNyika yechipikirwa.
EKSODO 23:20 Tarira ndichatuma mutumwa pameri pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira.
EKSODO 14:19 Zvino mutumwa waMwari, wakanga akatungamira hondo yavaIsraeri, wakabva’po; wakaenda shure kwavo, shongwe yegore ikava mberi kwavo, ikandomira shure kwavo.
Vatumwa vakavatungamirira vari mberi kwavo asiwo vakafambawo shure kwavo kuti vavachengetedze kubva kuna Farao.
Eksodo yekutanga ingadai isina kuitika pasina kupindira kwevatumwa apo Mosesi akatungamirira vaIsraeri kubuda muEgipita.
Mufananidzo wechinomwe kuna Mateo 13 wakataura pamusoro (peNETI) PERUTAVA, runomiririra kuparidzwa kwechokwadi neintaneti panguva yekupedzisira yekereke yechinomwe.
Kusarudzwa kwehove dzakanaka nezvikara zvakaipa zvegungwa zvaisadiwa kuchaitwa nevatumwa.
MATEO 13:47 Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove.
48 Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze.
49 Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama,
Kurudziro yevatumwa chete ndiyo inopatsanura zvakanaka nezvakaipa. Zvakaipa zvinokandira munguva yeKutambudzika kukuru kunoperera vasikana mapenzi vaisagona kunzwisisa Magwaro.
MATEO 13:50 uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.
Izvi zvinotsanangura nguva yeKutambudzika kukuru inouya mumashure menguva yekereke yechinomwe.
MATEO 13:51 Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe.
Jesu akataura pamusoro pehove dzakanaka akabvunza kuti vadzidzi vake vainzwisisa here.
“Dzakanaka” dzaiyananiswa “nekunzwisisa” pakuguma kwemufananidzo wechinomwe.
Asi uku kwaive kudzokororwa kwezvaive zvaziviswa mumufananidzo wekutanga.
MATEO 13:23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.
Izvi zvinoratidza kuti kereke yechinomwe ichadzorerwa pakunzwisisa kwakanaka Magwaro aive nenguva yekereke yekutanga.
Vatumwa vari muhondo yakasimba nemadhimoni munzvimbo yeMweya yepamusoro soro yatisingagoni kuona kuti vatichengetedze.
ZVAKAZARURWA 12:7 Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana ndokurwa rine vatumwa varo;
Pauro nevamwe vose vaaive navo muchikepe pavaive vaomerwa, mutumwa akazviratidza kuna Pauro kuti amuudze kuti vaizova vakachengetedzeka.
MABASA 27:23 Nokuti usiku huno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,
Vatumwa veKudenga vanotitungamirira patinonetseka tiri pano pasi.
Vatumwa vanomwe vakazviratidza kuna William Branham kuAmerica muna Kurume 1963 kuti vamuzivise zvakavanzika zveZvisimbiso zvinomwe. Tinoda rubatsiro rwevatumwa kuti tinzwisise zvakavanzika zveBhaibheri zvakadzama.
Nyika yatinorarama mairi inosanganiswa munezvemweya.
MATEO 6:10 ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;
Bhaibheri rega ndiro rinogona kutiudza kuti Zano raMwari reDenga nderei. Zvinhu zvakaitwa Kudenga zvinofanira kuitirwa mifananidzo panyika pano neimwe nzira.
Mweya Mutsvene wakazadza kereke zuva rePentekositi kuti mapositora ari panyika atungamirire kereke kuti iratidzire chinangwa chaMwari cheKudenga.
Hushe hwaMwari hunogona chete kuuya kwana kereke panyika ichitungamirirwa neHuvepo hwaMwari kuti tidzorerwe kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemapostora.
Munhu Mumwechete agere pachigaro cheHushe Kudenga
MATEO 6:10 ushe hwenyu ngahuuye; chido chenyu ngachiitwe panyikawo sezvachinoitwa kudenga;
Ngatitii muenzaniso uyu uri kuratidzira Denga panyika.
ZVAKAZARURWA 4:2 Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
Kwaive nezvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe.
ZVAKAZARURWA 4:6 Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro*. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
Meso anotaura pamusoro pehungwaro. “Chizere meso” zvinoreva kuti chizere hungwaru. Vanoziva zviri kuitika.
“Mberi”. Vanoziva zviri mberi. “Shure” vanoziva zvakaitika. Vanomiririra hunhu hwakasiyana siyana hweMweya waJesu apo anotungamirira kereke mukati menguva dzakasiyana siyana nezviitiko zvenhorondo yekereke.
ZVAKAZARURWA 4:7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
Tichiwedzera, kune vakuru 24 vakapoteredza chigaro chehushe Kudenga.
ZVAKAZARURWA 4:4 Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzendarama pamisoro yavo.
Chiitiko ichi chinofanira kudzokororwa panyika.
Saka, chigaro chaMwari panyika chiripi?
Nzvimbo imwechete inoda kugarwa naJesu, inomuyeuchidza nezveDenga, pakati pemakamuri emoyo wemunhu. Anoda kuva Ishe weMoyo yedu kuti agone kutungamirira nekutiratidza nzira.
Munhu akatendeuka ndiye ega chigaro chehushe chaanoda panyika munguva nomwe dzemakereke.
Asi Jesu anoda kutonga ari ega pachigaro chemoyo wako. Hamufaniri kuwanikwa mukana wekuzvida kana wekupa nyika.
Makamuri mana emoyo mucherechedzo wezvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe.
Asi ko vakuru 24 vagere nechekunze vakapoteredza chigaro chehushe? Ava ndivo vadzidzi gumi nevaviri veTestamente Itsva, naPauro akatsiva Judasi. Nemadzibaba gumi nemaviri emuTestamente Yekare vaive vanakomana vaJakobo.
Vakuru ava mucherechedzo wenyeredzi mumufananidzo unotevera.
ZVAKAZARURWA 4:4 Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere, vakapfeka nguvo chena, uye vakange vane korona dzegoridhe pamisoro yavo.
Vakuru 24 ava vanomiririrwa nembabvu dzemunhu 24.
Saka, pasi panyika, moyo wemunhu ndiwo mufananidzo wakanyatsokodzera wechigaro chaMwari cheKudenga.
Saka, kubva nhasi, kuchava nekutaurirana kusina anoona apo ndangariro dzedu dzenyama pano pasi dzinorukaniswa nendangariro dzaMwari Kudenga.
Tinofanira kufa kuzvivi nekuda kwedu kuti tisangane nezvatakatarirwa naMwari.
Saka, kuda kwedu kwenyama neimwe nzira kunofanira kuyananiswa nezvatakatarirwa naMwari chero hazvo pakutanga zvichiita sekuti zvinorwisana.
Tinofanira kufa kuzvido zvedu zvekuzvikudza, tofanira kuda kuzvininipisa zvakazara kune Kuda kwaMwari kwaakatarira hupenyu hwedu. Kwete nekuti tinofanira kuita izvozvo, asi nekuti tinoda kuita izvozvo. Nekuti tinoda Kuda kwaMwari, Shoko rake, kudarika hupenyu pachahwo.
Chinhu chakatiomera ndechekuti Mwari vanoona Zano guru renguva refu remakore 2000 enhorondo yekereke rinofanira kubatanidzwa naMwari, apo isu vanhu vakazvimiririra tinongoona zvinhu zvenguva duku zvezvido zvedu zvenyama zvisinei nevamwe kana naMwari. Zvakakosha kuti tidzidze kufa zuva nezuva kuzvivi zvedu kuti tizvininipise kuZano raMwari reMagwaro.
Jesu aive Muenzaniso wakanaka nekuti neimwe nzira aive Kudenga (nzvimbo yeMweya) apo iye aive panyika (Nzvimbo yenyama).
JOHANE 3:13 Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga.
Chiratidzo chekuti Jesu aivewo kunzvimbo dzeDenga paaive pasi paNyika kwaive kugona kwake kunoshamisa kubvisa zvido zvake ozviisa parutivi pane chero nhau.
RUKA 22:42 achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.
Muchadenga mucherechedzo wematorero atinoita zvinhu
Mvura mucherechedzo wevanhu vazhinji nedzidziso.
ZVAKAZARURWA 17:15 Zvino akati kwandiri: Mvura yawaona, pagere mhombwe, ndivo vanhu nezvaunga nemarudzi nendimi.
Mvura mucherechedzo wo zvakare wedzidziso yeMagwaro inogona kutinatsa kuva kukusatenda nezvivi.
VAEFESO 5:26 kuti aiite tsvene ainatse nekusuka kwemvura pashoko,
GENESISI 1:6 Mwari akati, nzvimbo ngaivepo pakati pemvura , kuti iparadzanise mvura nemvura.
Mwari akaita “nzvimbo” inova muchadenga medu kana denga. Ndiro mucherechedzo we Denga.
Nyika yaive yakafukidzwa nemvura pasi penzvimbo kana denga. Pamusoro penzvimbo paive nechidzitiro chemvura chakashadurwa naMwari kuita chidzitiro chisingaonekwi chemagasi maviri ehayidhirojeni neokisijeni. Mvura inogadzirwa negari rehayidhirojeni negasi reokisijeni.
Mvura dzepamusoro mucherechedzo weShoko raMwari rinotichengetedza. Kubva mumucherechedzo wemagasi asingaonekwi mucherechedzo wezvakavanzika zvaMwari zvatinoda kuti tinzwisise kana tichifanira kuchengetedzwa kubva kuzvakaipa zvese zvakatapa kereke. Kusaonekwa nemeso edu mucherechedzo wekuti tinoda rubatsiro rwevatumwa kuti tizive zvakavanzika zveMagwaro.
Nzvimbo yatinoona yaive yakakoshera hupenyu sezvo tichifanira kufema mweya weokisijeni kuti tirarame panyika. Zvese zvaiitwa naMwari zvaive zvakanangana neramangwana rezvisikwa nevanhu vaizogara pasi panyika. Nzvimbo inofanira kuita 21 % yeokisijeni kuti tifeme uye kuti itendere moto kutsva kuti vanhu vabike nekunyungudutsa simbi. Inofanira kuva ne78 % yenaitirojeni isingatsvi. Izvi zvinosangana neokisijeni zvomisa moto kutsva zvisingadzoreki.
Zuva rekutanga rakaona chiedza chezuva ( wakamiririra Chiedza chechokwadi) chakarova nyika.
Zuva rechipiri raida nzvimbo yakaringana kuti chiedza chibatsiridze hupenyu.
Chiedza chezuva chakarova puraneti Mars asi hakuna hupenyu kuMars nekuti kune nzvimbo isina kunaka.
Nzvimbo imwechete kana chiitiko chinogonesa Chiedza cheShoko kubereka hupenyu husingagumi ndeapo patinoita rudo neChokwadi cheBhaibheri. Rudo rwekuteerera nekuzvininipisa kuMagwaro zvakazara. Mwari vanotsvaga avo vanotenda muShoko nekuti vanoda Magwaro uye nesarudzo dzavo vanoda kuzvininipisa kune zvinotaurwa neBhaibheri.
MABASA 2:41 Zvino avo vakagamuchira nemufaro shoko rake vakabapatidzwa;
Tinofanira kufara kunzwa Shoko raMwari. Hatifaniri kuramba Magwaro kana akataura zvinhu zvinopikisana nezvatinoda.
MABASA 16:14 Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhia, mutengesikadzi wemicheka yeruvara rwehute weguta reTiatira, wainamata Mwari, wakatinzwa;
Tinofanira kutenda nguva dzese mune zviri muMagwaro. Kunyanya kana Bhaibheri rikatipikisa.
MABASA 17:11 Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nechido chese, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvi zvaiva zvakadaro.
Tinofanira kunzvera Bhaibheri mazuva ese kuti tione kuti tiri kutevera Magwaro here.
Asi zviito zvevanhu, kunyanya kana zvikasanganisira kuwana mari, zvinosvibisa nzvimbo yatinoona, totenda kuburitswa kukuru kwechiutsi kuri kuitwa nemaindasitiri. Nhasi kune matambudziko akawanda ezvemamiriro ekunze nekuda kwekushanduka kwakaita nzvimbo kana muchadenga medu.
Uyu mufananidzo weguta reDelhi rakavanzwa mumashure mechidzitiro chemhepo yakasvibiswa.
Saka, kusvibiswa kwemhepo mucherechedzo wekurasikirwa kungaite kereke nerudo rwekutevera Magwaro zvakazara. Zvitendero zvekereke zvinogona kusvibiswa kupfurikidza kutambira hutungamiri hwevanhu, sekuti munhu ndiye musoro wekereke. Vowedzera mbiri yavo nekutendera tsika dzechipegani nedzenyika kupinda mukereke. Sekusvibisa kwakaita mazano evanhu nzvimbo yerudo rweShoko raMwari, makereke akagona kuona zvishoma kwazvo zvezvaireva Magwaro. Mazano ekereke angoripo setsvina pamweya. Shoko raMwari chete ndiro rakachena.
ZVIREVO 30:5 Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa: ndiye nhovo yavose vanovanda maari.
Kana tichiona Magwaro seChokwadi chikuru, anotiitira chidzitiro cheumwe neumwe chinomira senhowo inochengetedza kubva kumadhimoni nekusatenda. Bhaibheri rinova mutungamiri wedu mukuru.
Kukanganisa kukuru kwakaitwa nekereke yekutanga mumashure mekufa kwemapostora kwaive kusimudzira muprista kuti atonge kereke. Muprista aifunga zvese achiudza vanhu kuti votenda mune zvipi. Vanhu vaive vasisanzvere nekutsvaga kupona kwavo nekutya nekudedera sezvo vaive vakungotenderana nezvaidiwa nekereke. Vanhu vakamira kuzvifungira. Semaparoti, vanongodzokorora zvaive zvataurwa nemaprista nekuti aive ave musoro wekereke asimo muMagwaro.
Nguva yekereke yechipiri yakaita kukanganisa kukuru kwekugamuchira Bhishopu semusoro wekereke weboka remaprista paguta.
VaNikoraiti. Munhu mumwechete achikosheswa kudarika vamwe vanhu. Vaitevedzera zano iri kubva kunezvematongerwo enyika.
Izvi zvaive zvisimo muMagwaro sezvo mapostora vaida kuti kereke yepanzvimbo itungamirirwe neboka revakuru.
Kana mukangotambira zano rekutanga risimo muMagwaro, munenge mazarurira mukova kuti mazano akawanda anokubvisai muMagwaro sezvaakanyorwa muTestamente Itsva.
Kereke isingatevere Magwaro inoreva kuti vanhu havasi kudzidziswa kuda Magwaro asi kuda mazano emakereke kana evanhu vanotungamirira.
MABASA 20:17 Zvino ari paMireto wakatumira kuEfeso akadanira vakuru vekereke kwaari.
MABASA 20:28 Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rese Mweya Mutsvene paakakugadzai vatariri pamusoro paro, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake amene.
Pauro akatsanangura vamwe vevatungamiriri vaizowanikwa mukereke semapere anotyisa. Mapere anotyisa uye anoparadza.
MABASA 20:29 Nokuti ini ndinoziva izvi, kuti shure kwekuenda kwangu mapumhi anorura achapinda pakati penyu, asingaregi boka;
MABASA 20:30 uye kubva pamuri imwi momene pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.
Musoro wekereke wagara unotarisira kuti vanhu vateerere nekutenda zvaunotaura. Kurudziro dzeBhaibheri dzinodzikira.
Maprista nemabhishopu anobvisa ruchengetedzo rweMagwaro kuvanhu nekuvaita kuti vatenderane nemitemo yekereke yakaitwa nevanhu. Munodiwa chete nemisoro yemakereke kana muchetenderana navo. Kupokana navo munoonekwa muri vavengi.
Munhu mumwechete haagoni kutonga kereke kana achitendera vanhu kuita zvavanoda.
MaBhishopu aifanira kuvaka matanho kana bato rekumanikidza vanhu kufunga nenzira yakasarudzika.
Vanhu vaisarudza kuita mitemo yekereke yakaitwa nevanhu yavanokwanisa kutenda mairi sezvo zvaivapa pfungwa yekuti vakachengetedzeka. Vaifunga kuti vaiwana nzira yavo yekupinda denga nekuteerera Bhishopu.
65-0220 NZVIMBO YAMWARI YAKASARUDZWA YEKUNAMATIRA
Vanofunga kuti munofanira kuva nhengo dzekereke iyoyo kana kuti hamuende Kudenga. Hazvisizvo. Kutenda izvozvo, kuva antikristu.
Ndichataura izvi: kana mukatenda mumweya yakadaro, munenge makarasika.
Ndicho chiratidzo chakanaka chekuti makarasika, nekuti zviri kubvisa kune zvakaitwa naMwari. Mwari haana kubvira aisa Zita Rake pakereke. Akariisa muMwanakomana wake, Kristu Jesu.
Kuva nhengo yekereke zvinoreva kuti vaive vasisafaniri kudzidza Bhaibheri nekuti zvaive zvakafanana nebasa guru. Vaingofanira kuteerera kumunhu wavanodaidza kuti musoro wekereke. Zvaive nyore.
Tichiwedzera, maBhishopu aiunza tsika dzechipegani vachidzipa mazita echiKristu. Izvi zvakaita kuti kereke ive nembiri kumapegani mapegani asina kuponeswa akanzwa achitambirika mukereke.
Kereke yechokwadi chete inoda kutongwa naMwari apo vanosarudza kuteerera Bhaibheri pachinzvimbo chemazano evanhu.
Mwari akaita chidzitiro chinochengetedza pakusoro penzvimbo
GENESISI 1:7 Mwari akaita nzvimbo ; akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo; nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo; zvikaita saizvozvo.
Paive nemvura zhinji pasi penzvimbo sezvo mvura yaive yakafukidza Nyika yese.
Mwari vakabva vasimudza imwe yemvura iyoyo pamusoro penzvimbo kuti imiririre nzvimbo yeDenga.
Mvura yepamusoro iyi Mwari akaigovanisa kuiita magasi maviri asingaonekwi okisijeni nehayidhirojeni kuti zviite chidzitiro chisingaoneki chiri pamusoro penzvimbo.
Mufananidzo unotevera unoratidza chidzitiro chemagasi chakapoteredza nyika.
Mudziya wezuva unopararira pachidzitiro ichi ichi kuti mudziya ufanane kwese.
Mvura inonaya inobva pakuti kupisa kwasangana nekutonhora. (Kufema kwenyu kunopisa kune mvura inopwira ichinogdzana pamagirazi emawhindo emota munguva yechando kuti iite madonhwe emvur anoita guti pagirazi.)
Chidzitiro chekuchengetedza chese chemagasi asingaoneki chaive nemudziya wakafanana chisina nzvimbo inopisa kana kutonhora. Saka, hakuna mvura yekunaya yaizogadzirwa.
Pasina nzvimbo inopisa kana kutonhora, paive pasina mwaka yegore. Mudziya wakafanana wakanaka waive nzvimbo dzese.
Chaifanira kungoitwa nenguva yekereke yechipiri kwaive kutevera zvakatendwa muTestamente Itsva mukereke yekutanga.
Asi kereke imwe neimwe yaida kuti munhu mumwechete avatonge.
Uyu waive mweya wevaNikoraiti, wakavengwa naMwari.
Nico zvinoreva kuti kutapa. Kutapa ungano kana raiti. Kuvaita kuti vatevere munhu pachinzvimbo chaMwari.
ChiKristu chemakwikwi chakasimuka nemakereke achiti iwo aive nani kudarika mamwe makereke.
Musoro wekereke yakati kurei waitarisira kereke duku kuti izvininipise kwaari nekutenda zvaanotaura.
Bhishopu weguta aitarisira kuti vese vatsva vakatendeuka vazvininipise kusimba rake neruchengetedzo rwaaipa.
MaBishopu akaita mbiri mazano avo akatanga kukosheswa kudarika Magwaro.
Kana mukasiya keteni muchiedza chezuva, rinosakara nekukasika kudarika chikamu chisiri kurohwa nezuva. Zuva rine mareyizi eawutiravhayoreti akaipisisa anokuvadza. Chidzitiro chakachengetedza chemagasi chaimedza mareyizi eawutiravhayoreti. Mudziya nechiedza zvisingakuvadzi chete zvinobva kuzuva ndizvo zvinosvika panyika. Pasina mareyizi eawutiravhayoreti nemamwe mareyizi akaipa anobva kuzuva anokuvadza, vanhu vanorarama nguva refu. Metusera akararama makore 969 nekuti akararama mvura yaNoa isati yauya.
Saka, nyika yakanaka yaive yagadzirwa. Pasina kupisa kana chando. Pasina mvura inonaya, guti rakadzikama rega raidiridzira zvirimwa. Pasina mareyizi ezuva akaipa. Hupenyu hwaive hutefe tefe vanhu vachikwanisa kurarama mazana emakore.
Asi vanhu vaive vasina rudo rwekubatira Mwari vari pasi pezviwanikwa zvakanaka kudai.
Tarirai mararamiro evanhu vane mari nhasi. Mari dzavo dzinovagonesa kurarama hupenyu hwakanaka asi hadzivaiti vanhu vari nani.
Mari yakawandisa inogona kutotikanganisa. Mabhiriyoneya maviri aikwanisa kubhadhara $250,000 umwe neumwe wavo kuti vatenge matiketi ekushanyira Titanic muna Chikumi 2023. Yakaita sepfungwa yakanaka kusvikira gungwa rakatsamwa, rakadzika, raparadza sabhumerini ravo duku.
Izvi zvakafanana nenguva yekereke yechipiri. Pachinzvimbo chekungotevera zvitendero zvekereke yekutanga yemapostora, vanhu vakatanga kushanduka nekugadzirisa Bhaibheri kuti rivaitire zvavanoda ivo.
Vaida munhu mumwechete, Bhishopu, kuti ave musoro wekereke muguta rimwe nerimwe.
Izvi zvaive zvisiri muMagwaro. Asi vanhu vakatozorora havo vakatendera kuti izvi zviitike.
Apo Bhishopu akawedzera kusimudzirwa nekuwedzera kukosha, akafunga kuti aikwanisa kushandura chingwa chechirayiro kuchiita muviri waJesu waanoti unokupai hupenyu husingagumi kana mukachidya. Vanhu vakatanga kuvimba nechingwa chechirayiro kuti ndicho chaivaponesa. Nekuramba vachidya wafa yakatenderera yechingwa ichi, vaitenda kuti vaizoponeswa saka vakazvinyengera. Mabhishopu chete ndiwo aikwanisa kuita minana yaishandura chingwa, chaive wafa yakatenderera, kuchiita nyama. Izvi zvakaita kuti kereke ivimbe nabhishopu nekumusimudzira kumuita musoro wekereke.
Kereke yakatenda zvaitaurwa nabhishopu, kwete zvaitaurwa neBhaibheri.
Kusimudzira Munhu kuti aite musoro wekereke kwaive kuzarura musiwo wekukanganisa kwaizouya. Bhishopu weRoma akatanga kutenda kuti aifanira kusimudzirwa pamusoro pemamwe mabhishopu nekuti ainyepa kuti aive akatsiva Petro (asina kumbobvira akasvika kuRoma).
Saka, nhema dzakatorwa sechokwadi padzaidzokororwa nevanhu vakawanda. Kutaura kuti Petro aive asvika kuRoma zvakaramba zvichidzokororwa. Pakupedzisira munhu wese akatanga kutenda kuti chaive chokwadi.
GENESISI 1:8 Mwari akatumidza nzvimbo akati Denga, Madeko akava’po mangwanani akava’po zuva rimwe.
Nzvimbo idenga riri pakati pemvura dzakafukidza nyika nechidzitiro chepamusoro chemagasi asingaonekwi akaitwa nemvura.
Zuva rechipiri harina kunzi rakanaka
Chidzitiro cheruchengetedzo chinomiririra mvura dzeShoko. Kuti tinofanira kutevera Magwaro.
Magasi maviri asingaonekwi hayidhirojeni neokisijeni anomiririra Testamente Yekare neTestamente Itsva.
Shoko raMwari harionekwi asi kana tichirarama tichizvininipisa pasi peShoko raMwari zvinoreva kuti takachengetedzeka.
Pano tinosvika panhau inotyisa.
Mwari haana kuti zvinhu zvakaitika zuva rechipiri “zvakanaka”. Nei?
Mvura yaNoa isati yanaya, vanhu vairarama makore mazhinij pasina chando kana kupisa pasina mvura inonaya kana mhepo zhinji.
Asi vakatambira zvinhu zvese izvi vakatora mukana wekurarama muzvivi.
Semhuri zhinji dzakapfuma dzinokudza vana pasina kufunganya nezvemari vachiwana zvese vana vanotanga kukwezvwa nedoro, zvinodhaka, kushaiwa hunhu nekupara mhosva.
Kurerutsira vanhu hupenyu hakupi vanhu rudo rwekubatira Mwari.
GENESISI 6:5 Zvino JEHOVA vakaona kuti kuipa kwevanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.
Zvakakonzereswa nechidzitiro chemagasi ekuchengetedza nyika aiita kuti hupenyu huve nyore huraramike ndezvekuti vanhu vakazvitora sezvisina basa vakaita vanhu vakaipa. Ndizvo zvinoita vanhu.
Zvakadaro, kana Mwari akasarudza kuparadza rudzi rwevanhu, aingobatanidza gasi rehayidhirojeni neokisijeni ogadzira mvura. Saka, gasi rekuchengetedza rinotsakatika parinogadzira mvura yakanaya panyika kuti inyudze nyika mumazuva eMvura yaNoa.
Rudzi rwevanhu rwakajairira kunaka kwaMwari akavapa hupenyu hurefu, hwakareruka hwakachengetedza, hwakanakisa.
Rudzi rwevanhu rwakarasikirwa nechidzitiro cheruchengetedzo chaive pamusoro pemvura yakashandurwa kuitwa magasi. Awutiravhayoreti nemamwe mareyizi ezuva zvaive zvakukwanisa kusvika panyika zvokanganisa masero anorarama.
Nzvimbo dzinopisa nedzinotonhora dzakasangana kuti dziite mvura, madutu nemhepo zhinji.
Mumashure memasenturi mashoma, vanhu vakanga vakurarama makore 70 pachinzvimbo chemakore 900.
Saka, Mwari havana kubvira vati zuva rechipiri “rakanaka” nekuti chidzitiro cheruchengetedzo ichi chakangorarama kwemakore asingasviki 2 000 mumashure mekupindira kwechivi paEdeni.
Mwari vaive vakufanira kubvisa chidzitiro chake cheruchengetedzo nekuti rudzi rwevanhu rwakanga rwaipa zvaisadzoreka.
Mwari vaive vakaronga kupa vanhu vaive vakazadzwa nezvivi hupenyu hurefu asi akamanikidzwa kushandura zano rake akagurira hupenyu hwevanhu hukaita hupfupi.
Izvi zvaive zvakakoshera kurarama kwevanhu munyika yakaipa yakazvisvitsa pakuparadzwa kwayo. Ndiyo yega nzira yaikwanisa kushandiswa naMwari kuisira muganhu zvakaipa zvevanhu asi chaive chisiri chinhu “chakanaka” chaizofadza Mwari kuti achiite.
Ko kuzoti dai Hitira naStarini naMusorini naMao Zedong vakararama kwemakore 900.
Kana tikashandisa kunaka kwaMwari zvisizvo tinenge tichitsvaga kurangwa saka tinotsamwisa Mwari.
Uyu mubairo usingafadzi usina “kunaka.”
61-0101 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 2
Zvino, tinoona kuti sungano “chibatiso”, chibatiso. Mwari akati chaive “chibatiso” pano, haana here.
Handikandiri museve wangu mumakore, (nekuti zvinenge zviri mumashure mekuparadzwa kwenyika, ichiparadzwa nemvura, vanhu vose kunze kwaNoa, vakaparadzwa.) Zvichava zvakadaro kuitira chibatiso chesungano pakati pangu nenyika. Kwete “ini nenyika”. Nyika “ikozimo”.
Asi izvi “zviri pakati pangu nenyika” Mwari vakataura kudaro, “ndakasika nyika iyoyo. Ndinokwanisa kuibata zvakaipa, zvekuti ndogona kungoipidigura ndoiparadza kuita zvidimbu zvidimbu. Uye handingatadzi kuzviita, pamwe.”
Akati, “ndaitodemba, chaive chinhu chakaipisisa.”
Munofunga kuti zvichava zvakadii kana Akauya nekutsamwa kwake nhasi? Zvinatse, shamwari mutadzi.
Pamweya, kereke yakarasikirwa nekufukidzira kweBhaibheri reKing James pavanorizvidza vachigadzira mamwe maBhaibheri anodarika zana echirungu. Kana paine chimwechete chakakanganisika muBhaibheri reKing James Vhezheni chinenge chisiri chidzitiro cheruchengetedzo rwedu. Nekuda kwaizvozvo, makereke haasisina chokwadi chakazara chekuita nheyo dzekutenda kwavo.
Ngatienzanisei zuva repiri nenguva yekereke yechipiri.
Zvinoshamisa, Mwari haana chaakataura chakaipa pamusoro pekereke yechipiri yeSmyrna nekuti vakasangana nenguva yakaoma.
ZVAKAZARURWA 2:10 Usatya chimwe chezvinhu zvanoda kutambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kukanda vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, zvino ndichakupa korona yeupenyu
Iyi yaive nguva apo vatendi vechokwadi vaifanira kutambudzika. Torongo. Nguva yeKutambudzika. Rufu. Hupenyu hwaive hwakaoma.
Kuratidzirwa kunosuwisa kwehunhu hwevanhu ndekwekuti vanhu vakaita hupenyu hwakareruka nekuda kwechidzitiro cheruchengetedzo chakagadzirwa pazuva rechipiri vakava vatanga kurarama muzvivi zvekuti vaive vafanira kuparadzwa.
Munguva yekereke yechipiri zvinopikisa zvakaitika pavakaita nguva yakarema yakavakurudzira kubatira Mwari vakazvipira.
Vanhu vazere zvivi vanobatira Mwari zviri nani munguva dzakaoma kudarika nguva dzakareruka.
Hakusi kuratidzirwa kwakanaka kwehunhu hwevanhu.
“Mazuva gumi eKutambudzika” anomiririra makore gumi ekurovererwa nekurwadziswa akatangwa neMubati weRoma yechipegani Diocletian muna AD 302. Yakaita nguva yakaipisisa yekurwadziswa kwaisvika kagumi kwemaKristu kwakatangwa nevabati veRoma yechipegani. Diocletian akatsvaga kubvisa zvachose maKristu nekuparadza Bhaibheri. Akapotsa akunda kuita izvi.
Asi kurwadzisa nekutambudza kwavaiita maKristu kwakaita kuti vapararire vachitiza nehupenyu hwavo. Vakaguma vave mapoka maduku ari munzvimbo dziri kure zvakavamisa kuita masangano semamwe maKristu vakaita makereke makuru vaina Bhishopu pamusoro pavo. Kusimudzira munhu mutsvene pamusoro pekereke waive mweya wevaNikoraiti wakavengwa naMwari.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, neni andinovenga.
“Nico” muchiGiriki zvinoreva kuti “kutapa”. Ungano inodaidzwa kuti “laity”. Kutapa ungano zvinoreva kuti munhu mutsvene anosimudzirwa pamusoro peungano kuti aitonge. Mwari akavenga chimiro chekereke chakadaro.
Munhu ane shungu dzekutonga aive asina basa netumapoka tudiki twepanzvimbo. Saka, boka duku rakapararira rakaguma rakutongwa neboka revakuru vepanzvimbo.
Kusununguka kubva kuvatungamiriri vanotonga ari munhu mumwechete, mapoka maduku akapararira aya aive asingaonekwe nevenhorondo asi aifadza Mwari. Muboka duku rinodzidziswa nevakuru vakasiyana, vanhu vanodzidza kuzvifungira. Hakuna pfungwa yeboka inokonzerwa nekurudziro yevamwe inomanikidza vanhu kutenda kutsika dzekereke.
I PETRO 5:1 Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa.
2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,
3 kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.
Vakuru vaitungamirira nemuenzaniso wakanaka.
Kurovererwa nekurayiwa kwemaKristu ndiyo yega nzira Mwari aikwanisa kushandisa kuti vatendi vagare vakapararira vakasununguka kubva kukuipa kwezvimisikidzo zvemasangano zvainyuka mumakereke aitungamirirwa nemunhu mumwechete.
Kuomerwa kwaive kwakakosha kuti chokwadi chemapostora chirarame asi zvaive zvisingavaraidzi, zvaitoda kushingirira.
Yaive isiri nguva yakanaka kukereke nekuti yakasangana nekurwadziswa kuzhinji. Kunyanya makore gumi akatanga makore akapoteredza AD 303 kusvika muna AD 312 dzakatangwa neMubati weRoma yechipegani Diocletian. Akaedza nepaaigona napo kuparadza kereke nekupotsa atoparadza Bhaibheri.
Yaive nguva apo kereke yaivarairwa ichitendera zvakaipa kupindira muhutungamiriri hwekereke. MaKristu akakotsira pachinzvimbo chekutarisa nekuongorora kuti vaone kupinda kwezvakaipa nekuzvimisa.
Uku kwaive kutanga kwematambudziko makuru.
Kereke yechipiri yakaona zvakaipa nekukanganisa kwekugadza munhu kuti ndiye musoro wekereke, kuchitora kereke zvishoma nezvishoma.
Saka munguva yekereke yechipiri iyi Mwari vakatanga kutarisa pahunyengeri hwehutungamiri hwemunhu mumwechete mukereke hwakanga hwazara mukereke.
Kuziviswa kwekukanganisa kwekereke ndiko kunoongororwa neChisimbiso Chechinomwe.
Kukanganisa kwechitendero kwese kukereke yaive yava pasi pemazano evanhu kwaive kusina “kunaka”.
Saka, munguva yekereke yechipiri yaive yatanga kusiya Magwaro Mwari akatanga kutarira kuzvisimbiso zvinomwe.
Chisimbiso Chekutanga chaive chatanga kutasva kwemutasvi waantikristu akachenjera mutasvi webhiza rehunyengeri muchitendero.
Mweya waantikristu uyu waive usingaonekwi zvakanyanya apo mapostora aive achiri mapenyu munguva yekereke yechipiri.
Asi munguva yekereke yechipiri hunyengeri muchitendero hwakakura hukazvigadza pasi pevanhu vaizvidaidza kuti misoro yemakereke.
Izvi vakateya nheyo dzakasimba dzeChisimbiso chechipiri. Kuisa makereke ese pasi pehutungamiri hwemunhu mumwechete.
Musoro wezvematognerwo enyika wekutanga, Mubati weRoma Constantine.
Akamanikidza vanhu kumuteerera nesimba rake rezvematongerwo enyika.
Pope weRoma ari Bhishopu wazvose. Akabatanidza simba rekereke nesimba rezvematongerwo enyika.