Zekaria 11, chikamu 3 - kumukira kupfurikidza kusimudzira munhu
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Kumhura kuri kukura mukereke apo zvakaipa zviri kukurawo. Kusimudzirwa kwevanhu vachitora nzvimbo yaMwari.
- “Chokwadi ndechipi?” Bvunzai mapegani ekuRoma vaurayi veShoko
- Satani anofunga zviri kunze kweMagwaro, zvinomhura
- Zita rekumhura Mwari nemazita ekumhura
- Kumhura Mwari. Kudzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu
- Tabernacle imwechete yaMwari Moyo wemunhu kwete Vatican
- Kumhura vatsvene neku vadaidza kuti varevereri
- MaPope anozviwisira kuna Petro vachimuti Pope wekutanga ivo vari maPope akamutsiva
- “VaNikoraiti”. Kusimudzira pasita kana mufundisi pamusoro peungano kana sangano
- Kuremekedza vapfumi nekuzvidza varombo
- Kumhura Mweya Mutsvene
- Antikristu. Kutaura kuti munhu ndiMwari
Zekaria Chitsauko 11 chikamu 3
“Chokwadi ndechipi?” Bvunzai mapegani ekuRoma vaurayi veShoko
Mweya weRoma yemapegani wakadzikisira nekusvibisa kereke zvekuti maKristu akawandisa acho anoramba Bhaibheri reKing James vachiti rakakanganiswa. Chero vanotenda kumharidzo vakuwana zvakakanganiswa pane mamwe mavhesi emuBhaibheri reKing James.
MaKristu vanofunga kuti hazvigoni kuwana Bhaibheri rakarurama risina chipomerwa.
Asi vanhu vanoda tsime rezvokwadi kuti vavakire kutenda kwavo pachokwadi ichocho.
Saka chokwadi ndechipi? Kereke inobvunza sezvakaita Pontius Pirato paakauraya Jesu.
Akageza maoko ake.
Ikozvino hutachiwana hweCovid hwakauya gore ra 2020 hwakaita kuti vanoenda kumakereke vagare vachigeza maoko avo kudzivirira kubatira hutachiwana.
Ipapo, saPirato, vanozvidza Bhaibheri reKing James Shoko raMwari vachiti rakakanganiswa.
Mugore 1870 vanonamata Catholic vakatendeukira kuna Pope vachiti haatadzi.
Zvino, vanhu vemharidzo vanoona hama Branham sevasingatadzi.
Chekutanga, mai vemakereke vaoronga zano, nekufamba kwenguva mwanasikana kereke inobatirawo mweya owoyo.
EZEKIERI 16:44 Tarira; mumwe nomumwe unobata neshumo, uchabata neshumo iyi pamusoro pako; achiti: sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.
Vemasangano akapikisa chiCatholic vakabuda muRoma ndivo vanasikana vacho.
Asi vemasangano havasi vanhu vekutanga. Sevanasikana, vanoramba vachitevera kutadza kwaamai vavo.
Nekudaro, vanhu vemharidzo vanotodawo munhu wavanoti Mukuru uye chokwadi chakazara. Vanoda kuti hama Branham vatore nzvimbo yaJesu Kristu seMwanakomana wemunhu.
64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO. 3
Kundiita munhu waIshe Jesu Kristu, kundiita antikristu.
63-0319 CHISIMBISO CHECHIPIRI
Asi kana mweya wakaipa wekunyengera uyu (Oh, maiwe.) mweya unoratidzirwa, dzidziso iyi mweya unopfeka munhu kuti utore nzvimbo yaKristu, unofanira kunamatwa wobva-- waitwa chinamato saKristu.
62-1007 KIYI YEMUKOVA
Zvinoita kuti zvinhu zvikanganiswe, mazviona kuti, vanoti pano dzimwe hama kumusoro uko dzakati ndakavatumira kumusoro ikoko, vari kuparidza kuti varume vanofanira kusiya vakadzi vavo kuti vatsvage vadiwa vavakatarirwa nemweya, uye kuti ini ndakarurama handitaddzi. Kuti hakuna ... uye, oh, nezvimwe zvezvinhu zvakaipisisa zvamunganzwe.
Munhu wese anoguma akudzokera kumazano asimo muMagwaro eKereke yeRoman Catholic kana kuti kuzvitendero zvekereke yekutanga zvakanyorwa muTestamente Itsva.
Nebukadinezzari, Mambo weBabironi, akarota mufananidzo wemuHedeni wakamiririra hushe huna hwevaHedeni.
Nebukadinezzari akazivisa kunamatwa kwemufanaidzo wemunhu mutsvene (Danieri kana tichijekesa). Asi akasangana nedambudziko Mwari vakamuwisira pasi kusvikira atendeuka.
Madzimambo ePersia vakabatsira kuti Tembere ivakwe zve pfuma yayo idzorerwe makare. Masvingo akapoteredza Jerusarema akavakwazve.
Zvinhu zvakabva zvashanduka. Kuremekedza Kwari kwakadzikira kusaziva kukawedzera.
MaGiriki akaratidza kuzvidza Mwari wemaJuda nekubaira nguruve paaritari muTembere muna 170 BC.
Roma yakasvika pakusaziva nekusatenda zvekuti Pirato akabvunza kasingaperi kuti “Chokwadi ndechipi?”
Akageza maoko ake akaraira kuti varove nekuuraya Munhu asina mhosva.
MaGiriki nemaRoma ndivo vakamhura Mwari zvakanyanyisa.
MaGiriki vakakudza hushe hwavo kupfurikidza zvigadzirwa zvakaipisisa nemafungiro akaipisisa netsananguro dzavo dzakachenjera asi dzakaipa kwazvo.
MaGiriki akaedza kuita kuti varatidzire kururama kwevanhu asi kuratidzira kwavo kwakadzikisirwa nehutsinye hwavo uye hunyengeri hwavo.
Roma yakamedza zivo dzeRoma yemapegani vakawedzera rudo rwekudeura ropa rwakanyanya nerudo rwekurasisa, rukazoshanduka kuva chikara chinobvisa chokwadi.
MuBabironi, waifanira kupfugama kumufananidzo wemunhu mutsvene.
MuPersia, nekuti unenge uri kuMabvazuva, vaive vajaira kupfugama kunamata mambo. Izvi zvaiitwa kuMabvazuva zvichirambwa kuMadokero.
Rangarirai, Kaini akaenda kuMabvazuva nenhema dzake nemadhimoni ake ehumhondi.
GENESISI 4:16 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJEHOVA, akandogara panyika yeNodi; kumabvazuva kweEdeni.
MaGiriki, Alexander Mukuru, akanga ari munhu wekutanga wekumadokero kunamatwa saMwari kuMabvazuva akaraira kuti anamatwe futu nemaGiriki ekuMadokero.
Uyu waive mweya wakaipa. Kusimudzira munhu wekumadokero kuti anamatwe.
zvichibva kumweya vekuMabvazuva uyu Alexander aive azivisa kuMadokero, Vabati muRoma vaizorambwa.
Mubati weRoma Karigura naNero vakaita chokwadi chekuti rufu runorwadza rwakamirira vaya vaisaona Kesari (vabati) veRoma samwari.
Mweya wakaipa wemapegani uyu wakapinda mukereke yeRoman Catholic kubva ipapo kapararira pakati pemasangano emakereke akabuda muchiCatholic vaidisa kwazvo kusimudzira vatungamiri vavo.
Muprofita Danieri akabva aona mumwe mufananidzo.
Mweya wakaipa kwazvo wemukati mehushe hwevaHedeni wakaziviswa.
Tinoona kufanana kwazvo pazvikara zviviri zvine nyanga zvaive nenyanga dzakawanda zvisina kuringana.
Mbudzi yemaGiriki nechikara cheRoma chakaipisisa kana shato.
ZEKARIA 11:13 JEHOVA akati kwandiri: Chizvikandira kumuvumbi wehari: ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo. Ini ndikatora masirveri anamakumi matatu, ndikaakandira kumuvumbi wehari mumba maJEHOVA.
Mutengo waive wakanaka nekuti unoripira chikara chine nyanga chaiuraya nekusairira kutunga kana kubaya nenyanga dzayo mumuviri wemunhu.
Nyanga dzinotyisa dzemweya yemaGiriki nemaRoma.
MaGiriki nezivo dzavo dzinogonesa vanhu kurwira zvakaipa nenzira dzine huchenjeri nekusimudzirawo munhu kumuita mwari.
MaRoma nekuita kwavo kwakarasika kwekuti vakaparadza chokwadi.
EKSODO 21:32 Kana nzombe ikatunga Muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirveri anamakumi matatu vuye nzombe iyo inofanira kutakwa namabwe.
Izvi zvakaona mweya wemaGiriki uchisimudzira munhu kumuisa pahuMwari.
Paive pasina nyanga kusvikira mbudzi yemaGiriki yaenda kumabvazuva zvikasimudzira Alexander kusvika pahumwari.
MaRoma akabva atorawo chinamato chaKesari vakavodza chokwadi muchikara chenyanga gumi.
Chikara cheRoma chaive nenyanga gumi dzaimiririra marudzi evatorwa vakapamba hushe hwevaRoma vachiziva kana kuti vasingazivi, vakavaka simba remaPope muEurope. Pakupedzisira, Pope akawana simba pamusoro pemarudzi evatorwa.
Mweya iyi yakapinda mukereke yeRoman Catholic, nyanga duku (iri kuratidzwa muruvara rutsvuku yakaratidzwawo zvakare sezvidimbu zvedare mutsoka dzemufananidzo wemuHedeni.
Torai mufanidzidzo wechikara chenyanga gumi chichibaya nekutunga musoro waJesu, mune ndangariro neShoko rake.
Izvi zvinoratidzwa nekorona yeminzwa yakabaya musoro wake.
Mwari vanoshamisa Baba, vakagara mumuviri waJesu zvakazara, vakavanza chiso chavo vakaramba kutaura pakaenda Jesu nezvivi zvedu muGetsimani. Izvi zvakasiya Jesu ari oga semunhu kuti aripire muripo wezvivi zvedu. Akanga asisina kuyanana kwemuka naBaba vake. Ndosaka Chirayiro chichitiyeuchidza pamusoro pekufa kwake ari oga. Marwadzo makurusa aakasangana nawo aive ekurasikirwa nekuyanana naBaba kwaaive nako pakutanga.
VAKOROSE 2:9 Nokuti maari munogara kuzara kwaMwari pamuviri.
ISAYA 59:2 Asi zvakaipa zvenyu zvinokuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake; kuti arege kunzwa.
Korona yeminzwa yakarovererwa mumusoro make.
Izvi zvinomiririra kuedza kuroverera mazano ake ekumhura Mwari mundangariro dzaJesu. Satani akatadza nekuti Jesu akangoramba achitevera Magwaro zvakazara haana Magwaro aakashandura kuti aenderane nezvaaisangana nazvo.
Jesu anofunga neMagwaro.
Satani anofunga zviri kunze kweMagwaro, zvinomhura
Nyanga gumi dziri pachikara cheRoma dzinomiririra, munzvimbo dzeMweya, zvitendero gumi zveMweya zvakarovererwa mupfungwa dzekereke yeRoma.
Mazano mazhinji ekumhura Mwari aya akapindawo mumasangano aipikisa chiCatholic pavanoswedera kuchiCatholic.
Kumhura kwekupedzisira kwechigumi nekumwechete kuchava apo Pope waantikristu paachazviita Mwari panyika.
Ndiko kuchava kukunda kwekupedzisira kwenyanga duku yezvakaprofitwa naDanieri.
DANIERI 7:7 Shure kwaizvozvo ndakavona pane zvandakaatidzwa vusiku, ndikavona mhuka yechina yaityisa nokuvhundutsa, ine simba guru kwazvo, yakanga inameno makuru evutare; ikapedza, nokuvhuna vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo, iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.
8 Ndikacherechedza runyanga ndikaona rumwe ruyanga ruchibuda pakati pedzimwe,
Kereke yeRoman Catholic, iri nyanga duku, yakasimuka kuva nesimba muEurope pakati pemarudzi akawanda akaparadza hushe hweRoma.
Ngatitarisei mazano gumi ekumhura Mwari akapinda mukereke yeRoma.
Mazano aya akatangira mukereke yeRoman Catholic zvakawanda zvacho zvikapinda mumakereke evakaipikisa.
Mazano ekumhura mwari akabvisa vanhu vakarurama paBhaibheri achivanyengera nezvitendero zvisimo muMagwaro.
Dzidziso dzakaitwa nevanhu dziri kugadzirira kereke kuti Pope waantikristu wekupedzisira atore simba.
Zita rekumhura Mwari nemazita ekumhura
Kutaura kuti Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene izita zvakaipi chaizvo.
Kuita mazita emakereke akaita sekuti Roman Catholic, Lutheran, Methodist, Baptist, Pentekositi, nemamwe kutadza kukuru.
ZVAKAZARURWA 13:1 Zvino ndakamira pamusoro pejecha regungwa, ndokuona chikara chichibuda mugungwa, chine misoro minomwe nenyanga gumi, nepamusoro penyanga dzacho korona gumi, nepamusoro pemisoro yacho zita rekumhura.
KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 6
Chitsauko chino chinoratidza simba rekereke yeRoman Catholic nezvaichaita kupfurikidza mapoka akarongwa. Rangarirai uyu muzambiringa wenhema. Regai udane Zita raIshe, mumanyepo chete. Hutungamiri hwayo hauzi hwaIshe asi hwaSatani. Hunopedzisira hwayanana zvakazara nechikara. Mhombwe inotasva chikara chishava zvinoratidza simba rake muna mwari wekumanikidza (Satani) kwete Mwari wedu, Ishe Jesu Kristu.
1.
“Zita rekumhura”.
ZVAKAZARURWA 13:6 Ndokushamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nekumhura zita rake, netabernakeri yake, neavo vanogara kudenga.
7 Zvino kwakapiwa kwachiri kuita hondo nevatsvene, nekuvakunda;
Mweya wesangano reRoman Catholic wakapedzisira wakurira makereke emasangano nekuvaita kuti vatsive zita raJesu Kristu nezita risina anoziva raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene.
60-1210 NGUVA YEKEREKE YEFIRADHEFIA
Petro nezaruriro yemweya aiziva kuti kwaive kusina chinhu chakaita sekuti “Baba Mwanakomana naMweya Mutsvene.” Uye munhu wese akabapatidzwa muzita “raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene”anenge achibapatidzwa mukutenda kweCatholic, (ndizvo chaizvo) kwete murubapatidzo rwechiKristu. Haruna kubvira rwaitirwa vakasanangurwa.
60-1208 NGUVA YEKEREKE YETIATIRA
... Vakamhura zita rake. Vakatora “Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene” pachinzvimbo chaIshe Jesu Kristu.”
Kereke yeRoman Catholic yakabvisa Zita raJesu Kristu parubapatidzo rwemvura.
Saka, vakabvisa Mabasa 2:38 muBhaibheri vachiti kukanganisa.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendeukai; mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa chomweya Mutsvene.
Kuramba kuterera Mabasa 2:38 kukanganisa kukuru.
Chekutanga, vanoti Petro akakanganisa. Vanoti vhesi iri rakakanganiswa.
Chakakanganiswa chechipiri ndechekuti vakarasikirwa nezita raMwari nekuti havagoni kuwana zita rimwechete revanhu vatatu.
Saka, vanodzokorora mazita matatu ezvinzvimbo Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene asi havazivi kuti zita remuridzi wezvinzvimbo zvitatu izvi ndiyani.
Mwari weTiriniti haana zita.
2.
“Mazita ekumhura”.
ZVAKAZARURWA 17:3 Zvino wakandisengera kurenje mumweya, uye ndakaona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere nemazita ekumhura, chine misoro minomwe nenyanga gumi.
62-1104 MAZITA EKUMHURA
Asi “akazara nemazita ekumhura” Methodist, Baptisti, Presbeterio, Lutheran, vese vachizvidaidza kuti “makereke aMwari.”
62-1111E NEI NDICHIPOKANA NEZVITENDERO ZVAKARONGWA NEVANHU
Mazita ekumhura aya ambori chii? Methodist, Baptisti, Presbeterio, Lutheran, Pentekositi, nemamwe. Mazita ekumhura, nekuti hurongwa, hupombwe pamberi paMwari, sezvaakanga ari (kereke yeRoman Catholic).
Kuna Genesisi, mukadzi aive asina zita kusvikira atadza. Ipapo chete ndipo paakazotumidzwa Eva.
Kusvikira ipapo akanga achingodaidzwa mukadzi, “akatorwa pamurume”.
Kereke yekutanga aive maKristu, vateveri vaKristu.
Nguva inorwadza yemasangano akarongwa yakabva yatanga. Roman Catholic. Lutheran. Calvinist. Methodist. Baptisti. Pentekositi. Vatendi vemharidzo.
Makereke “anogadzira mazita” asina kubvira ashandiswa nekereke yekutanga kuzvitsanangura.
Ndicho chikonzero nei Mwari vasingadi “kuzvigadzira” zviso kunoitwa nemadzimai, sezvo vachimiririra kereke.
Kuzvidaidza nemazita emakereke kumhura Mwari.
Hakuna kereke yakatifira. Hakuna kereke inogona kutiponesa.
Kumhura Mwari. Kudzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu
3.
“Kumhura Mwari”.
ZVAKAZARURWA 13:6 Ndokushamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nekumhura zita rake, netabernakeri yake, neavo vanogara kudenga.
60-1208 NGUVA YEKEREKE YETIATIRA
Akazarura muromo wake akamhura Mwari, “Achidzidzisa dzidziso iri mirairo yevanhu; kuoma musoro, kuita ndangariro dzakakura.”
Kana tikagadzira dzidziso dzedu tega sevanhu tinenge tamhura Mwari.
MATEO 15:9 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu.
Mwari havana kubvira vatiudza kuti tipemberere kuzvarwa kwaJesu.
Tiriniti. Chishanu chakanaka (Good Friday). Kisimusi. Mwari Mwanakomana. Zvese izvi kutaura kusimo muMagwaro kwakagadzirwa nevanhu.
Kukanganisa kukuru kuriko nhasi uno kutaura kuti kune zvakakanganiswa uye kuti Bhaibheri reKing James rinozvirwisa. Kureva kuti hamuna Bhaibheri rechokwadi kumhura Mwari ikoko.
Nekuti Jesu ndiye Shoko raMwari.
Kana tichitaura kuti mune vakakanganiswa muBhaibheri, zvinoreva kuti tiri kuti pane zvakakanganiswa kana kuipa kuri pana Jesu.
Tabernacle imwechete yaMwari Moyo wemunhu kwete Vatican
4.
Kumhura “Tabernakeri yaMwari”
Haisi Vatican, asi moyo wemunhu.
ZVAKAZARURWA 13:6 Ndokushamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nekumhura zita rake, netabernakeri yake, neavo vanogara kudenga.
63-0321 ZVISIMBISO ZVINA
Akazarura muromo wake achimhura Mwari, ... kuti amhure zita rake, ... (kumupa chinzvimbo) ... Tabernakeri yake ... (nzvimbo inogara Mweya Mutsvene, kuiita nzvimbo iri muRoma, Vatican City, munogona kungoteremuka) ...
62-1104 MAZITA OKUMHURA MWARI
Tabernakeri iyi [yekwaBranham], tichati, “Ndiko kwaanouya kukereke”.
Tabernakeri iyi [yekwaBranham] haisi Tabernakeri yaMweya Mutsvene. Hakuna zvakadaro.
Vanhu vakazvimiririra vanouya mukereke iyi ndivo Tabernakeri yeMweya Mutsvene.
MaTabernakeri ane Mweya Mutsvene,
Mwari anogara mumoyo yevarume nvakadzi vakazvarwa patsva.
VAEFESO 5:18 ... asi zadzwai neMweya,
II VAKORINTE 1:22 Uyo wakatiisirawo chisimbiso isu, akatipa rubatso rweMweya mumoyo yedu.
VAEFESO 3:17 kuti Kristu agare pamoyo yenyu nekutenda;
Kumhura Mwari kutaura kuti zvivakwa zveVatican ndizvo Tabernakeri yaMwari, nekuti Pope anogara ikoko.
Izvi zvinoreva kuti Pope akatora nzvimbo yaMwari panyika.
Kudenga, Chigaro chaMwari chakaita seizvi.
ZVAKAZARURWA 4:7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
Zvisikwa zvina zvinorarama zvakapoteredzwa nevakuru 24.
ZVAKAZARURWA 4:4 Zvino zvigaro zveushe makumi maviri nezvina zvakange zvakakomberedza chigaro cheushe; nepazvigaro zveushe ndakaona vakuru makumi maviri nevana vagere,
Mapostora kubva muTestamente Itsva nemadzibaba gumi nemaviri kubva muTestamente yekare.
Panyika, izvi zvinomiririrwa naJesu achigara mumoyo yevanhu nemakamuri awo mana.
Mabhuku mana eEvangeri anomiririra moyo werudo rwaMwari kwatiri, zvekuti akanga akazvipira kutifira.
JOHANE 15:13 Hakuna ane rudo rukuru kune urwu, kuti munhu anoradzikira pasi shamwari dzake upenyu hwake.
Moyo wemunhu wakapoteredzwa nembabvu 24.
Ndicho chigaro chaMwari chechokwadi panyika.
Saka, moyo wemunhu ndiwo nzvimbo yakaringana inogara Mwari kana kuti Tabernakeri panyika yakafanira kuva chigaro chaMwari.
Kumhura vatsvene neku vadaidza kuti varevereri
5.
“Kumhura vatsvene vakafa vakaenda Kudenga”
ZVAKAZARURWA 13:6 Ndokushamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nekumhura zita rake, netabernakeri yake, neavo vanogara kudenga.
57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHITANHATU.2
Asi kana muri venyama, munomira kumashure, moti, “Ah, zvakanaka, ndizvozvo, ndiri wekereke.” mazviona? Kana mukamhura, ndeapo pamunenge musina Kutenda kwakambopiwa kuvatsvene. Munoita jee naizvozvo, mozvidaidza uti “Mweya wakaipa,” “Ndiro boka revatsvene vakaipa.” Zvino, munozvibvisa panyasha nekutongwa, mopedziswa zvachose.
Takufanira kudzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Akazarura muromo wake akamhura Mwari, ... kumhura zita rake, ... (akamupa chinzvimbo) ... tabernakeri yake ... (nzvimbo inogara mweya Mutsvene, kuiita nzvimbo iri muRoma, Vatican City; unogona kungoenda mberi zvakadaro) ... nevanogara kudenga. (kuvamhura nekuvadaidza kuti vadzimu).
MaPope anodzidzisa vanhu kunamata kuvatsvene vakafa kudenga kuti vaite sevadzimu vari pakati penyu naMwari.
54-0513 CHIRATIDZO CHECHIKARA
Zvino, vakaronga kereke yeCatholic, ikatanga kurwadzisa vatsvene, kuti va... kuti vaite munhu wese, kwese kwese, kereke uye nyika yakabatana pamwechete, vakaiunza kubva kuRoma yemapegani kuuya kuRoma yemaPope. Nemamwe mazwi, kubva kuzviera era zvemapegani vakatora chiKristu nenzira yavo. Mazviona? Vaisakwanisa kunzwisisa kuti nei munhu aikwanisa kumira achinamata asi pasina chinhu pamberi pake.
Vaive mapegani, saka vaibvisa Vhenasi voisa Maria; vobvisa Jupita, voisa Petro, kana kuti toti chiumbwa kuti vachinamate. Ikozvino, vanonamata pamberi pazvo.
Mapegani vaida mifananidzo kana zviumbwa zvekuvaratidza kuti vamwari vakaita sei.
Saka, maRoman Catholic vakatora mifananidzo yemapegani vakaipa mazita echiKristu.
Chiumbwa cheJupita chakanzi Pauro. Mufananidzo weVhenasi wakaitwa Maria.
54-0513 CHIRATIDZO CHECHIKARA
Zvino, vakaronga kereke yeCatholic, ikatanga kurwadzisa vatsvene, kuti va... kuti vaite munhu wese, kwese kwese, kereke uye nyika yakabatana pamwechete, vakaiunza kubva kuRoma yemapegani kuuya kuRoma yemaPope. Nemamwe mazwi, kubva kuzviera era zvemapegani vakatora chiKristu nenzira yavo. Mazviona? Vaisakwanisa kunzwisisa kuti nei munhu aikwanisa kumira achinamata asi pasina chinhu pamberi pake. Vaive mapegani, saka vaibvisa Vhenasi voisa Maria; vobvisa Jupita, voisa Petro, kana kuti toti chiumbwa kuti vachinamate. Ikozvino, vanonamata pamberi pazvo. Vaiita munamato wepasi rese, vaiuita muchiRatini kuti vasakundikane, nezvimwe zvakadaro. Vaigarotaura zvinhu zvimwechete.
63-1110 MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO
NdiMwarikadzi. Diaborosi ari pabasa! Nei? Vanhu veCatholic vanoita, vanoita vakadzi, vamwari, vonamata kwavari; ndizvo chaizvo, mwarikadzi Maria, nezvimwe zvakadaro. Ndakaona mukanzuru yeEkumenikari vakataura kuti zvaizoitika kuti vaizonamata zvishoma kuna Jesu kana zvaizobatsira vaivapikisa kuti vauye vabate navo. Mazviona? Mazviona? Zvakanatswa! “Zvinopindirana,” vakati, Mazviona? Achiri Diaborosi umwechete. “Akaita kuti vose vatore Chiratidzo pahuma dzavo, vaive vasina kunyorwa mazita avo muBhuku yeGwaiana, Bhuku yeHupenyu.”
Mugore 1950 Pope Pius 12 akataura kuti Maria akakwira Kudenga pamuviri pakupera kwehupenyu hwake. Haana kujekesa kuti akafa here kana kuti kwete.
Saka, vanhu veCatholic vanoti vanotenderwa kunamata kwaari sezvo “akazadzwa nenyasha” uye achigona kupawo dzimwe nyasha idzi kuvanhu vanonamata kwaari.
Izvi hazvimo muMagwaro uye kukanganisa kukuru.
Kunamata kuvatsvene vakafa kumhura Mwari. Hazvina kubvira zvaitwa munguva yekereke yekutanga.
MaPope anozviwisira kuna Petro vachimuti Pope wekutanga ivo vari maPope akamutsiva
6.
“Kumhura Petro vachimuita 666”.
Uku kumhura kukurusa kwakakurira marudzi evatorwa munguva dzeRima.
Mugore AD 754 Pope Stefani 2 vakanyorwa mugwaro rakaitwa zvisiri pamutemo rinonzi “Chipo chaConstantine [Donation of Constantine]” kuti Petro aive VICARIVS FILII DEI. Pope akati Petro amire panzvimbo yeMwanakomana waMwari nekuti iye ega ndiye ane makiyi ekuzarura musuwo weDenga kuti mupinde kana mafa.
Hamupindi Denga kunze kwekunge Petro atendera kuti mupinde uye anoda kuti muzvininipise kuna Pope akamutsiva.
MuchiRatini, mabhii anogona kumiririra manhamba (V naU vakafanana muchiRatini)
I = 1 V = 5 L = 50 C = 100 D = 500
Saka, V I C A R I V S F I L I I D E I
5 1 1 00 1 5 1 50 1 1 5 0 0 1
Tikabatanidza nhamba imwe neimwe yakazvimiririra dzinoburitsa 666.
Chinzvimbo ichi chakashandiswa pana Petro chete. Asi Petro haana mhaka sezvo asina kubvira ati anochida chinzvimbo chacho.
ZVAKAZARURWA 13:18 Ndipo panokuchenjera. Unoziva. Ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; uye chiverengo chacho ndimazana matanhatu nemakumi matanhatu nenhanhatu.
Sikowo muChirungu (Score) kureva kuti 20 makumi maviri.
Munhu wacho ndiPetro.
Pope anoti simba rake rakabva kuna Petro munhu mumwechete ane makiyi ekuzarura kana kupfiga mukova weDenga. Nekusunga kana kusunungura vanhu kubva kuzvivi.
Uku kumhura kuri pachena.
MATEO 18:1 Nenguva iyo vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti:
MATEO 18:18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: [Vadzidzi vose gumi navaviri] Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
Vadzidzi vese vaikwanisa kusunga kana kusumunguva vanhu kubva kuzvivi.
Sei?
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendeukai; mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi,
Kutendeuka ndiko kiyi inobvisa zvivi saka kunokuzarurirai mukova wedenga kana mafa. Saka makasunungurwa kubva kuzvivi zvenyu zvakadarika.
Rubapatidzo muzita raJesu Kristu rwakava rubapatidzo rutsva rwakasunganidzwa nerubapatidzo rwakare rwaJohane rusina zita.
Rubapatidzo rusina zita haruchashande.
Rubapatidzo muzita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene haruchashande zvakare nekuti havazivi kuti zita racho nderekutii.
Rubapatidzo runofanira kuitwa muzita.
MaJuda akapinda mugungwa dzvuku muzita raMosesi vakararama.
VaEgipita vakapinda murubapatidzo muchinzvimbo chaFarao vakara.
“VaNikoraiti”. Kusimudzira pasita kana mufundisi pamusoro peungano kana sangano
7.
Vaparidzi vakasimudzirwa vanoti ndevekwaMwari asi vanoparidza nhema dzaSatani dzisimo muMagwaro.
ZVAKAZARURWA 2:9 Ndinoziva kutambudzika kwako novurombo bwako (asi uri mufumi), nekutuka kwaivo vanoti tiri vaJuda, vasi ivo chaivo, asi isinagoge raSatani.
Pakutanga makereke mazhinji aive maJuda.
Nekukasika vanhu vane makaro vakashingirira kusimudzirwa kuva misoro yekereke.
Mamwe maJuda vakati vaive vakakosha nekuti vaive muchitendero chechiJuda.
Vaparidzi ava vakazvisimudzira kuva chiprista chechiAroni chaimira pakati pevanhu naMwari.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi chinhu ichi unacho kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.
Mweya wemunhu wanhasi ari musoro wekereke wakanyangira kupinda mukereke mumazuva ekereke yekutanga mumashure mekufa kwemuprofita Johane makore akapoteredza AD 100, bhishopu paakazviita musoro wekereke. Nekukasika Bhishopu aive ava Musoro weguta. Makaro asingaperi akaenderera mberi kusvikira Pope asimuka kuva Bhishopu mukuru pamusoro pavose. Vachibuda muNguva yeRima vemasangano akapikisa chiCatholic akaita kukanganisa kumwechete uku. Ipapo pasita (akataurwa nezvake kamwechete muTestamente Itsva akatukwa katanhatu muchiprofita muTestamente yekare) neimwe nzira akabata chinzvimbo chaasina kupihwa neMagwaro chekuzviita musoro wekereke. Kristu oga ndiye ari pachinzvimbo ichocho.
I PETRO 2:9 Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuprista bwamambo,
MaKristu ose akaponeswa maprista. Hakuna muprista ari pamusoro peumwe muprista. Saka, hakuna munhu ari pamusoro peumwe munhu akaponeswa. Munhu mumwechete aive pamusoro penyu mose Muprista Mukuru, aive Jesu Kristu.
Hakuna chiprista chehushumiri hwemabasa mashanu chiri pamusoro pevanhu muTestamente Itsva.
Vaparidzi vangori vakuru uye, zvakadaro, vakaenzana nevamwe vanhu vose. Tese tiri hama.
Hakuna munhu muTestamente Itsva akadaidzwa kunzi “Pasita” zvakabatanidzwa nezita rake.
Vaparidzi variko nhasi vanodisa kwazvo zvinzvimbo izvozvi sezvo zvichivapa simba pamusoro pevanhu. Asi Mwari akazvivenga.
MATEO 23:2 Akati: Vanyori navaFarise vagere pachigaro chaMwari.
Vatungamiri vezvitendero vakabata zvakataurwa naMosesi asi vakaramba Jesu.
Mazuvano mapasita emharidzo anogara achiti, “Muprofita akati ...” vachiramba Shoko raMwari sezvo vasingagoni kutsigira dzidziso dzavo zhinji vachishandisa Bhaibheri.
MATEO 23:6 Vanofarira zvigaro zvepamberi pamitambo, nezvigaro zvepamberi mumasinagogue.
Mapasita anoda kwazvo kusimudzirwa nekuremekedzwa nevanhu vese vachivateerera nekutenda mune zvese zvavanotaura.
Vanoda zvituru kumberi kwekereke kuti vaonekwe.
MATEO 23:7 Nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabbi navanhu.
Mapasita anototi anoda kudaidzwa kunzi “Pasita Jimi” Pasita Dziki” kana Pasita Heri” kuti kukosha kwavo kuonekwe.
MATEO 23:8 Asi imi musaidzwa Rabbi.
Jesu akavayambira. Musadaidzwa nezvigaro. Vanhu vose ihama. Zvinzvimbo zvehushumiri hwemabasa mashanu hazvifaniri kushandiswa pamberi pezita remunhnu kana muchitaura pamusoro pemunhu.
Willam Branham aida kudaidzwa kunzi hama Branham, kwete kuti Profeti Branham.
KUDZOKORORWA KWENGUVA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHAPUTA. 10
Nguva yechitatu yakaziviswa nemweya wechiprofita kuti makereke emunyika achatora dzidziso dzavaNikoraiti. Kupatsanurwa kwehutungamiriri kubva paSangano kwakakura kubva pachokwadi cheBhaibhei chevakuru (vafudzi vemapoka epanzvimbo) kutonga boka neShoko, ‘kuzviito zvevaNikoraiti’ apo vatungamiri vanozviisa muzvinzvimbo umwe pamusoro pevamwe zvinozokura kuita chiprista chinoisa hutungamiri pakati pevanhu naMwari, zvichipa hutungamiri kodzero dzakasarudzika asi vachishaisa sangano kodzero dzavo dzavakapihwa naMwari.
Uku kwaive kutora nechisimba. Munguva ino yakava dzidziso. Yakaziviswa mukereke seShoko raMwari rechokwadi, asi raive risiri.
Asi hutungamiriri hwakazvidaidza kuti Shoko raMwari saka dzidziso iyi yaive antikristu.
Vaparidzi vachizvigadza pamusoro peungano.
61-1119 SIMBA RAKARURAMA RINOITWA NEKUNETA KWAKARURAMA
Oh, maiwe, kutaura nezvekushaiwa muvharo kweketero: madhimoni achitenderera, masimba ewakaipa agere pasi pemazita echiKristu, dzidziso dzedzidziso dzemirairo yevanhu, dzidziso dzetsananguro dzevanhu, kusiya Bhaibheri.
Hapana muTestamente Itsva pakaitwa pasita Musoro wekereke.
Hapana muBhaibheri pakadaidzwa mufudzi kuti pasita.
Pauro akasiya vakuru vachitungamirira kereke paEfeso.
Efeso yaive nguva yenheyo kunguva nomwe dzese dzemakereke.
MABASA 20:17 Zvino iye ari paMireto [Pauro] akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.
MABASA 20:28 Zvichenjerei imi neboka ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsvene kuti mufudze kereke yaMwari yaakatenga neropa rake.
Basa remufudzi nderekurisa makwai.
Pauro haana kupa basa iri kumunhu mumwechete Pasita. Akapa basa iri kuboka revakuru rakabatana.
MABASA 20:29 Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.
Asi pakangofa mapostora, vanhu vane makaro vaizotora hutungamiri hwekereke nechisimba kuita munhu mumwechete anodzvanyirira kereke.
Mupostora Johane akatsanangura vanhu vakadaro achivafananidza naDiotrefe.
III JOHANE 1:9 Ndakanyorera kereke asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unoramba isu.
Semapasita emazuva ano, aida kuti kereke itongwe nemunhu mumwechete.
III JOHANE 1:10 Naizvozvo kana ndichivuya ndichayevudza mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
Nhasi mapasita ndiwo vanoti vane simba rekutonga purupeti yekereke uye kusarudza kuti ndiyani anoparidza. Vanotiwo vane simba rekurambidza chero munhu papurupeti kana kuuya kukereke kana asingatenderane napasita.
Diotrefe airambidza chero munhu aigamuchira Johane. Asi Johane akanyora maBhuku mashanu muBhaibheri. Saka Diotrefe airamba chero munhu aitaura pamusoro peMagwaro.
I PETRO 5:1 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwechete navo nechapupu chemadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazotaridzwa ndichiti:
2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu musingazviiti nokurovererwa asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa.
Petro haana kukoshesa chinzvimbo chake semupostora . Akangozviti aive mukuru. Iye pamwechete nevamwe vakuru vakafanana naye.
Petro aibvumirana nekuti vafudzi vaive nebasa rekurisa makwai, boka rekereke repanzvimbo, zvinoitwa nevakuru vepanzvimbo.
Izwi rekuti “pasita” rakataurwa kamwechete muTestamente Itsva rikatukwa katanhatu muTestamente Yekare. Izvi hazvimupi simba rinobva muMagwaro rekuita musoro wekereke.
I VAKORINTE 12:28 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostora, rwechipiri vaprofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.
Pauro paakateya nheyo dzekereke, haana kana kubvira ataura pamusoro papasita (mufudzi).
Saka, pasita-ndiye-musoro-wekereke hazvimo muMagwaro, zvakabva mumazano ekereke yeRoman Catholic kuti Pope ndiye Musoro wekereke.
Kuremekedza vapfumi nekuzvidza varombo
8.
“Kuremekedza vapfumi, kunyanya vanhu vakapfuma vanotsikirira kereke, kumhura”.
“Kutadza kuvimbika kumurume wedu, Shoko raMwari, kumhura”.
Kana tisingazvirereki kuti titakure joki rezviitiko zvenguva yedu, tiri kumhura”.
Vapfumi vanotonga kereke vachiita mitemo isimo muMagwaro nezvitendero kuti vanhu varambe kusungwa pamwechete kana kubopwa pamwe nevasingateveri Magwaro.
JAKOBO 2:6 Asi imi makazvidza varombo ko havasi vaapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?
JAKOBO 2:7 Ko havazi ivo vanomhura zita rakanaka ramunotumidzwa naro here?
JAKOBO 2:1 Hama dzangu kutenda kwenyu kunaShe wedu JesuKristu, Iye wokubwinya, ngakurege kuva nokutenda zvinovonekwa zvomunhu.
2 Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu une mhete yendarama, akapfeka nguvo dzakanaka, mukapinda vo murombo wakapfeka nguvo dzakaipa;
3 Mukatarira uyo wakapfeka nguvo dzakanaka mukati: gara pano pakanaka, mukati kumurombo: mira papo, kana: Gara pasi pechitsiko chetsoka dzangu;
4 Ko hamuna kutsaura momoyo yenyu; mukava vatongi vane mifungo yakaipa here?
Kereke yeRoma yakakura ikapfuma muNguva dzeRima. Kuita uku kwakapinda zviri nyore mumakereke akaipikisa akabereka dzidziso yebudiriro.
Vachitenda kuti kuita pfuma kunamata, varombo vanotarisirwa pasi.
Hupfumi hwakanyanyisa hweVatican hwakaita kuti kereke yeRoman Catholic ive ndiyo kereke huru yechiKristu. Munguva yekorona yegore 2020, munhu mumwechete akadaidzira kuti paitwe munamato wepasi rese aive Pope.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
17 Nokuti unoti; ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwe chinhu;
Hupfumi hunopa kereke nemuparidzi kukosha mumaziso evanhu.
Kumhura kukoshesa vapfumi muchizvidza varombo.
Kereke, semukadzi wechidiki, inofanira kuchengetedza musha wayo nekuteerera murume.
Pamweya, musha wekereke iBhaibheri ratinofanira kuteerera nekutendeka kwariri. Bhaibheri ndiro murume wedu nekuti Jesu ndiye Shoko.
Saka Mwenga wechokwadi acharamba achitevera Magwaro zvakazara.
Kusatevera Magwaro zvakazara kumhura nekuti Bhaibheri ndiro rine ndangariro dzaJesu. Hatifanirwi kumurwisa zvachose.
TITO 2:4 Kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo,
TITO 2:5 Vave vakangwara, vakachena, vanochengeta imba, vanyoro, vanozviisa pasi pevarume vavo, kuti Shoko raMwari rirege kumhurwa.
Kereke inofanira kuda Kristu semurume wayo nekumuterera, nguva dzese inofanira kugara mumiganhu yeShoko. Haifaniri kutenda chero chinhu chisina kunyorwa muMagwaro.
I TIMOTIO 6:1 Vese vari varanda pasi pejoko, ngavati vatenzi vavo vakafanirwa nokukudzwa kwose, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kumhurwa.
Sekuteerera kwatinoita madzishe edu epanyika, tinofanirawo kuterera Ishe wedu weMweya.
Zvese zvatinoudzwa neBhaibheri, tinofanira kuteerera.
Nguva imwe neimwe ichava pasi pejoko rezviwira vanhu zvakasiyana asi chero chatichasangana nacho, tinofanira kutendeka nekuteerera Shoko raMwari anova Ishe wedu wechokwadi. Sevaranda, tinofanira kuteerera chete Ishe wedu Bhaibheri.
Kuterera Magwaro kunomisa kumhurwa kweShoko nezita raMwari.
Nekushandura Shoko raMwari uye kuzivisa zvitendero zvemapegani uye zvitendero zvakaitwa nevanhu, Shoko rinorwiswa saka rinomhurwa nemakereke.
Chekutanga, maCatholic akaita izvi, tsika yakashata iyi yakapfuurira kupinda mukakereke evakapikisa chiCatholic.
Tiriniti, Kisimusi, munhu-mumwechete-ndiye-musoro-wekereke, Svondo iSabata, Chishanu chakanaka, Isita egi, Isita bhani. Zvese izvi zvakabvisa kereke kuiisa kure neMagwaro.
Vanhu vemharidzo vakabvawo paMagwaro zvakanyanya vanoti musi wa28 Kukadzi 1963 Jesu akauya segore kuSunset Peak mumarenje eSonorani muArizona.
Gore harina kubvira radzika kubva pachinhambwe chemamaira 42 pamaminetsi 28 araionekwa zuva richangodoka. Saka, vatumwa vakaita gore havana kubvira vaburuka, kana kukwira kudenga. Gore rakatorwa mifananidzo mamaira 200 kumusoro kweSunset Peak, kumusoro kweguta reFlagstaff. Rakatorwa mifananidzo mazuva masere vatumwa vanomwe vasati vashanyira hama Branham pedyo neSunset Peak musi wa 8 Kurume 1963.
Saka Sunset Peak inzvimbo isiriiyo uye nguva dzisidzo dzakaonekwa gore guru rinoshamisa muchadenga.
Zvinorambwa nevanhu vemharidzo kana kutarisira pasi, nekuti hazvifambirani netsananguro dzavo, ndezvekuti paive nemakore maviri muchadenga, gore rinoshamisa rakaitwa nemapapiro evatumwa negore rakaitwa nechiutsi chakabva paroketi rakaputika. Izvi zvinogona kuonekwa pamufananidzo wakatorwa muguta reWinslow riri munzira yakafamba nemakore aya ari maviri paakaenda achibva kuMadokero achienda kuMabvazuva. Ari mudenga imomo, aisaonekwa muchiedza chemasikati akangoonekwa kwechinguva chiduku chemaminetsi 28 mumashure mekudoka kwezuva. Makore anodaidzwa kunzi nokutirusendi ([noctilucent] anoonekwa madekwana chete) ndiwo anodaro.
James MacDonald, munhu wezvesainzi akatora mifananidzo yegore ari paTucson, akataura kuti chaive chinhu chaaisagona kutsanangura nekuti kwaive nemakore maviri nekuputika kweroketi kumwechete.
Mvura inopwa yokwira kudenga inogadzira mvura inozonaya. Chiutsi chikasimu mudenga chinoita gore rechiutsi, gore rechiutsi riri mudenga denga raidiwa kuzadzisa chiprofita ichi.
MABASA 2:19 Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, Ropa nomoto nemhute yovutsi.
Mapapiro evatumwa akaita gore rinoshamisa riri chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga.
MATEO 24:30 Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga:
65-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI
Zvino muchiratidzo chikuru ichi, kuti nyika ive isina, vachiri kuzvibvunza kuti chii chakaitika. KuTucson, vanhu vaiona vakatora mifananidzo yaro; vachiri kuzvibvunza kuti chii chakaitika. Chaimbova chii? Vachiri kuzviisa mumapepa, “Kune anoziva here pamusoro pechii, kuti zvingadai zvakaitika sei?” kwaive kusina mhute kumusoro kudenga, kwaive kusina mhepo, kwaive kusina hunyoro; mamaira makumi matatu kumusoro kudenga. Oh, mai!
"Kuchave nezviratidzo kumusoro kudenga. Zvinhu izvi pazvichaitika, kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana siyana, kuchaonekwa chiratidzo kudenga, cheMwanakomana weMunhu.”
Vanhu vemharidzo vanoshoropodza kereke nekuti haiteveri Magwaro asi ivo dzidziso dzavo dzekuuya kwaShe kana Mutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa 10 achiburuka segore rinoshamisa, hazvisi zvakare muMagwaro.
“Kumuka kubva kuvakafa zviri munguva yakadarika” kunyengerwa kwakaipisisa.
9.
I TIMOTIO 1:19 Wakabata kutenda nehana yakarurama, iyo yakarashwa navamwe; vakarashikirwa nokutenda:
20 Vamwe vavo ndiHimenio naAreksandro; vandakaisa kuna Satani, vadzidziswe kuti varege kumhura Mwari.
II TIMOTIO 2:17 Neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kuna Himenio naFireto:
18 Ivo vakarashika pazvokwadi, vachiti kumuka kwevakafa kwatopfuvura; vachikanganisa kutenda kwavamwe.
Himenayo aimhura Mwari ari muparidzi akataura kuti kumuka kubva kuvakafa kwaive kwadarika kare. Zvaive zvatoitika.
Nguva yeRumuko paichange yakusvika, kukanganisa kuri pachena asi kwakasimba kuchave kwekutaura kuti kwakatoitika kare.
Vatendi vemharidzo vazhinji vakanyengerwa kare kusvika pakufunga kuti tatove muMereniyamu. Kana chiri chokwadi, zvinoreva kuti vakafa muna Kristu vakatomuka. Kureva kuti vane mhosva saHimenayo.
Mutumwa Mukuru anoburuka panyika kuzomutsa vakafa.
Hama Branham vakaisa mutumwa Mukuru, kana Mutumwa weSungano, wekuna Zvakazarurwa 10 munguva inouya. Izwi remutumwa mukuru richauya kuzomutsa vakafa.
64-0119 SHAROMI
Kana Mutumwa, wekuna Zvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.
Saka kana muchiti Mutumwa Mukuru akatouya kare panyika, munenge muchiti vakafa vakatomutswa. Izvi hazvisizvo.
61-0424 KUPENYA KUKURU MUNHORONDO
Kereke ikati, “Vakatora Ishe vangu”. Vakaitei naye? Asi nhasi, vakawanda nekuda kwekushaiwa nekunonoka nekuneta kwekereke, vanotenda kuti nhau yemaJuda kumashure ikoko yakataurwa, kuti vakauya kuzomuba kubva muguva pakati pehusiku, vachiri kufunga izvozvo. Ndinotenda kuti vemasangano akapikisa chiCatholic vanosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana vaisatombotenda mukumuka kubva kuvakafa kwaakaita kana kuti Kuuya chaiko kwaachaita. Tsvagurudzo dzinoratidza izvozvo. Vanozviramba zviri pachena. Vakawanda vavo, zviuru zvavo vanoramba nhau yekubereka kwemhandara.
Vanoenda kumakereke vakashandura kumuka kwevakafa kukuita chimwe chinhu chemweya. Havatendi kuti vatsvene vakafa munguva dzese dzemakereke vachamuka kubva mumakuva mavo. Iyi idzidziso yakaipisisa nekuti vakafa pavanomuka, vanoenda kumakereke ava vachapikisa nekuramba nhau yekumutswa kwevakafa.
61-0424 KUPENYA KUKURU MUNHORONDO
“Vakatora Ishe wangu”. Nei? Vaifanira kuita saizvozvo. Kana musingatendi kumuka kwepanyama, zvinoreva kuti hamugoni kuparidza pamusoro paKristu anogara akadaro zuro nhasi nekusingagumi. Hamugoni kutora Shoko rake, ko tinozviita sei? Tinozviita vasingatendi uye vatengesi. Hazvishamisi kuti nei kereke duku iri kuchema, “Ishe wangu uripi? Ko Mwari wenhorondo aripi? Ko Jesu aivepo aripi, akati achave nesu, uye achatitungamirira, uye achava matiri kusvika kumagumo enyika, mabasa aakaita?” Uye makereke paakaona zvichizadziswa, vari mubishi rekuronga mapoka. Zvinenge zvisina kubva mumapato avo, vanozviidza Diaborosi, vozvirasira kure sezvavakaita ipapo. Saka zvichiri zvakarasika.
... “Vakamutora”. “Ndiyani akamutora? Mapato akamutora akamubvisa. Ikozvino mukazviramba kamwechete, ndinokuratidzai kuti ndizvo zvazvaive munhorondo. Chakamubvisa, chakaita kereke yeCatholic, raive boka. Vemasangano akabuda mairi vakatendeukira kwairi vakanoita zvinhu zvakaitwa nekereke yeCatholic, kuita bato kubva mariri. Kana mukaita izvozvo mabvisa Mwari.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.
Mwedzi mumwechete asati afa hama Branham vaive vachiri vakamirira izwi remutumwa mukuru kuti rimutse vakafa.
Kutaura kuti tiri muMereniyamu zvinoreva kuti vatendi vemharidzo havagoniwo kutsanangura kuti chii chakaitika kumakore matatu nehafu eKutambudzika nemakore matatu nehafu eChirayiro cheMuchato weGwaiana.
Kumhura Mweya Mutsvene
10.
RUKA 12:10 Mumwe nomumwe anoreva Shoko rakashata pamusoro poMwanakomana womunhnu, uchakanganwirwa, asi unomhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi.
MaJuda akapofomadzwa naMwari saka akavapa nguvo chena.
Asi vaHedeni vakazvipofomadza nekuda kwekuzvikudza, ruchiva rwekuda vakadzi nekuda zvinzvimbo simba nemari.
Kana munhu akazvidzwa nekuda kwekuti atenda mune zvakanyorwa muBhaibheri achidaidza kuti Diaborosi, munhu anenge achipomera iyeye anenge achimhura Mweya Mutsvene.
Basa guru reMweya Mutsvene nderekutitungamirira kupinda muzvokwadi yese.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose:
Asi kana tikaramba chokwadi chakaziviswa muShoko rakanyorwa, tinobva pazano raMwari rekuzodzwa meso edu kuti tione nekunzwisisa Bhaibheri.
Mumashure maizvozvo, tinenge tiri mapofu kune chero zaruriro dzeMagwaro.
Zvikamu zvizhinji zveBhaibheri zvinoramba zviri Bhuku rakapfigwa kwatiri.
Zvakazarurwa chinhu chinoenda mberi apo Bhaibheri rakanyorwa rinonzwisiswa zvakawedzerwa .
MATEO 13:12 Nokuti ani nani unazvo uchapiwa, ave nezvakawanda, asi ani nani usina, uchatorerwa nezvaanazvo.
Kana tikaramba tichitenda muMagwaro mazhinji sekuziviswa kwaanoitwa kwatiri, zvinoreva kuti Magwaro mazhinjiwo anozarurwa kwatiri.
Asi tikaramba zvakaziviswa muBhaibheri nekuti zvinopokana nekudzidzisa kwekereke yedu, zvinoreva kuti tsanga yemweya inokura muziso redu rinobva rapofomara kuchokwadi chakadzama.
Mumashure mechinguvana, tinotanga kurasikirwa nezvimwe zvitendero zviri muBhaibheri zveziso redu remweya rakabva kwatiri nekuti zvinenge zvisisatenderane nekukanganisa kwedu kunenge kuchiwanda.
Vamwe vanotenda kuMharidzo vakazvikurudzira kuti vari kurarama muMereniyamu. Zvakaoma kuti tinyengerwe zvakanyanya kudarika ipapo.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Akatora Bhuku reZvisimbiso akarizarura akaratidza mutumwa wechinomwe, nekuda kwaizvi zvoga, zvakavanzika zvaMwari, hushumiri hwemutumwa wechinomwe.
Chinangwa chikuru chehushumiri hwehama Branham chaive chekudzidzisa kuti vonzwisisa sei zvirevo zviri muMagwaro akanyorwa.
64-0315 KURUDZIRO
Kukanganisa kumwechete kwaunoita uchibva paShoko raMwari, unobva wagarira kunze kweHushe hwaMwari. Zvakabvisa Eva. Zvakakonzeresa matambudziko aya ese, kamwechete kuti ungosuduruka paShoko zvishoma. Munofanira kurarama muchokwadi naro, zvarinotaura.
61-0112 MIBVUNZO NEMHINDURO
“Ndingamhura sei Mweya Mutsvene nekutevera kureva kweMagwaro?”
58-0125 MAMBOKADZI WEZASI
Saka, tarirai, Magwaro ndiwo nheyo. Jesu akati, “Kana ukataura Shoko uchipikisa Mweya Mutsvene, hazviregererwe.” Zvimwe zvivi zvose zvicharegererwa kunze kwechivi ichocho. Ndiko kusatenda. Oh, Chinhu chakaipa sei chekushaiwa kutenda. Vasingatendi vazhinji vanhu vari muzvitendero. Vasingatendi vazhinji, ndinodzokorora, vanhu vari muzvitendero. Zvakanga zvakadaro munguva dzose. Nguva ino haina kusiyana nedzimwe. Vanhu vayo vezvitendero havatendi.
54-1212 AKAPIKA NAYE
Vangani muno vanoziva chivi chisingaregerereki chii ikozvino? Chokwadi. Kuramba Chokwadi cheEvangeri.
Ndizvo here? Kana, ... “anotadza nebwoni kana agamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuzovi nezvipiriso zvezvivi zvakare.” kana Evangeri rikaziviswa zvakanaka,” ndizvo zvinotaura Magwaro, mukariona; nekuda kwekuti munoda kusiyana kana kutenderana neboka rino, kuti munofuratira muchiziva, munege mamhura Mweya Mutsvene, hamuzogoni kuregererwa panyika pano kana munyika ichauya.” ndizvozvo chaizvo.
Nekudisa kwazvo kuva nhego dzemakereke avo, vanhu vanotuka chokwadi kana chikaiswa kwavari.
Kukanganisa kukuru kwevanoenda kumakereke ndekwekutenda kuti kereke dzavo dzine chokwadi chakazara.
54-1003 GORE REJUBHERI
Hama, hanzvadzi musatambe naMwari kwenguva yakareba, nekuti nguva inouya apo jubheri rinodarika nepamukova pako. Ipapo motorwa kuenda kunzvimbo yewakaipa, motsindirwa nzeve zvekuti hamunzwi Evangeri rekubwinya zvakare. “Muri kurevei?” hamuzove nebasa naro.
Munoziva here kuti kumhura Mwari kudii? Kumuramba. Ndizvo chaizvo.
Pavanomhura Mweya Mutsvene, pavakaramba Jesu Kristu, vakamudaidza kuti Beruzebabu. Nemabasa aakaita vakataura vakati “Uri kuitiswa naBeruzebabu. “Jesu akavaudza, izvo, vakanga vaita. Asi vakatadza kuzvitenda.
Kana munhu akaramba kutenda chokwadi kana chikaiswa kwaari, oramba kuchitenda, ndiko kupera kwazvo. Zvinenge zviri pachena.
VAHEBERU 6:4 Nokuti kana vari ivo vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chekudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
5 Vakaravira Shoko rakanaka raMwari, namasimba enyika inovuya,
6 Kana vakazotsauka hazvibviri kuvavandudza zve, kuti vatendevuke, nokuti vanozoroverazve Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.
63-0707 KUPOMERWA
Ikozvino, zvimwechete, vanoita zvimwechete izvozvo nhasi. Vanoramba nekuroverera Mwari umwechete iyeye, nhasi, nekusamuziva. Zvimwechetezvo nekumuramba. Nekuita, nekumuramba, zvinhu zvavari kuita nhasi, havaroverere Kristu zvakare, ndizvo chaizvo, asi vanomhura Mweya Mutsvene.
Vanobatana.
Ndangariro dzese idzi dzizere kumhura dzazara mumisoro yevanhu vanoenda kumakereke. Izvi zvinoita kuti zvisagoneke kuti vagamuchire chokwadi chakaziviswa muMagwaro.
Saka, vanokanganisa zvikuru nekuramba chokwadi chakaziviswa.
Vanobva vayambuka muganhu.
Nekukasika vanova panjodzi yekuiswa pasi paPope waantikristu.
Anounza ndangariro dzese dzekumhura idzi pamusoro pavo.
Antikristu. Kutaura kuti munhu ndiMwari
11.
JOHANE 10:33 VaJuda vakamupindura vakati, hatikutakiri basa rakanaka, asi nokuti wamhura Mwari, vuye nokuti iwe munhu, unozviita Mwari.
Nekusimudzira Pope kuti amire panzvimbo yaKristu, kereke yeCatholic inova bato rakafanira kwazvo kuti ritungamirirwe naantikristu wekupedzisira muchinda.
Ipapo, paanotanga kutonga nyika zvinova nyore kumusimudzira kubva panzvimbo yaKristu kumuita iye Kristu pachake.
Kana Pope waantikristu akataura kuti iye ndiye Mwari, ndiko kuchava kumhura kwekupedzisira.
Ndiwo achava magumo ekuedzwa kwakatanga Alexander paakazviita mwari.
Chokwadi chega chinouya kana mukatsigira zvamunotenda nemavhesi eBhaibhri, nekumabatanidza pamwechete kutsanangura zaruriro yamunenge munayo.
Kana musingadi kuyananisa mavhesi eBhaibheri (rinova basa rakaoma) munenge musingadi chokwadi.
Munenge mananga kunonyengerwa netsanaguro dzakachenjera dzakaitwa nevanhu.
Rangarirai, maGiriki aive akachenjera kwazvo. Saka mafungiro avo anokwanisa kunyengera. Dzidziso yeTiriniti inobva pakuraira kwechitauro chechiGiriki.
II VATESARONIKA 2:8 Ipapo Iye usakarurama uchavonekwa, Iye uchavurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuvonekwa kwokuvuya kwake:
9 Kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesomba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema.
10 Nokunyengera kwose kwokusarurama kunavanorashika; nokuti havana kugamuchira rudo, rwezvokwadi kuti vaponeswe.
11 Saka Mwari unovatumira Simba rokukanganisa kuti vatende nhema.
12 Kuti vose vasina-kutenda zvokwadi, asi vakafanira zvisakarurama, vatongwe.
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Musarega chero munhu achikunyengerai nechero nzira: nekuti zuva iro richauya, nekuti kuchatanga kuuya kurasika pakutanga ... (ari kuedza kuzvibvisa mundangariro dzavo kuti Aiuya ipapo, saka kuchava nekurasika kwekereke pakutanga, mazviona, huyai iyi inguva yeRaodikia.)
Munguva yekereke yekupedzisira, maKristu acharasika kubva paBhaibheri reKing James Vhezheni.
Nebukadinezzari akavaka mufananidzo wemunhu mutsvene paaive mambo weBabironi. Akamanikidza vanhu kuti vapfugame vanamate mufananidzo uyu.
Munhu mumwechete aive asipo ndiDanieri.
Asi Nebukadinezzari akadaidza Danieri kuti Bertishazari raive zita ramwari wake.
DANIERI 4:8 Asi pakupedzisira Danieri wakauya pamberi pangu iye une zita rinonzi Bertishazari, wakatumidzwa nezita raMwari wangu,
Saka, mufananidzo wemunhu mutsvene waive mufananidzo wemuprofita Danieri. Danieri aive asingatarisirwe kuti apfugame kunamata mufananidzo wake.
Saka, kereke yeCatholic ikozvino inodaidza Pope kuti haatadzi kubva muna 1302 aiti hakuna ruponeso kunze kwekereke yeCatholic. Munofanira kuzviwisira kuzvininipisa kuna Pope.
Kubva muna 1200, ari VICARIVS KRISTU, Vicar yaKristu, Pope aive amire panzvimbo yaKristu.
Gwaro regore 2012 reAnnuario Pontifico rinopa,”Vicar yaJesu Kristu” sechinzvimbo chaPope chechipiri (chekutanga chiri “Bhishopu weRoma”)
Pamusangano wekutanga weKanzuru yeVatican muna 1870 Pope akataura kuti iye haatadzi.
Hutungamiri nekukosha kwemaPope zvinoreva kuti hakuna simba rakakura kudarika raPope weRoma.
Ane hutongi nesimba guru haana waanodaira kwaari.
Hakuna munhu anofanira kumugadzirisa chero atadza.
Mapasita kana vafundisi vemharidzo vanoti chivi kuedza kugadzirisa chero chinhu chakataurwa nehama Branham.
Chero pavakati 1954 + 33 = 1977
Kukanganisa kuri pachena kwemasvomho kwakaita kuti vabude nefungidziro dzisiriidzo dzekuti America yaizoparadzwa muna 1977.
Mapasita mazhinji emharidzo akaparidza kuuya kwaShe muna 1977 vakadzinga vaipesana navo.
Ikozvino, pajekereke, vanoramba kuti vakaita saizvozvo.
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Mwari akashanda nemaJuda makore 1954 zvichibva pazvinyorwa zvemaJuda uye kuna Vagaratia 3:16 ne 17. Ndine Magwaro mazhinji, asi ndongokupai iwaya. Zvino mushure mekuramba Kristu, akatendeukira kuvaHedeni kuti azvitorere vanhu kuzita rake. Muri kuda Gwaro raizvozvo here, pariri? Mabasa 15:14.
Ikozvino, tikaverenga nguva, tinoona kuti tine (tererai). Makore gumi nemanomwe asara, tichaita nguva yakangoenzana naiyoyo yatichapihwa apo Mwari anoshanda nesu musimba reMweya Mutsvene kubva gore AD 33 kusvika 1977, nguva yakareba zvakafanana yemakore 1954. Mwari anoshanda nesu zvakafanana nezvaanoita nemaJuda. Mazviona? Zvakadii izvozvo.
Kwete. Kana makore 1954 akawedzerwa kumakore 33 mhinduro haisi 1977.
Mhinduro chaiyo inoita gore 1987.
Izvi zvinongoratidza kuti vanhu vezvitendero vakasukurudzwa pfungwa sei kana vakabvisa meso avo panaJesu munhu mumwechete akarurama asingatadzi.
Ikozvino makereke abatwa nemweya unoda kuti munhu anotungamirira asimudzirwe.
Izvi zvakakoshera kereke kuti ipe simba rekusimuka kuna Pope waantikristu wekupedzisira.
Pope achasimudzirwa pamusoro pevanhu vanofanira kupfugama kusimba rake.
DANIERI 11:14 ... pakati pavnhu vako vachazvikudza, kuti vasimbise zvawakaratidzwa.
Mbavha dzemweya ndivo vaparidzi vanotora vanhu kuvabvisa paMagwaro nekusimudzira hutungamiri hwavo ivo.
Kubira vanhu kodzero dzavo dzekuziva chokwadi chakaziviswa kumazuva edu.
Iri ndiro zuva revanhu apo vatungamiriri vemakereke vanosimudzirwa.
Dambudziko guru nhasi nderekuti vanhu vari kubva pakuzvipira kuda kuponeswa.
Vanoenda kumakereke havachanzwi kuti vanoda kururama nekuzvipira kutendeuka kubva kuzvivi. Vanhu vari kurasikirwa nerudo rwekudaidza Jesu mumoyo yavo kuti atonge hupenyu hwavo zvakazara. Vanhu venguva yedu ino havachada kuzvipira kuita Kuda kwaMwari nekuti havachatendi kuti Bhaibheri reKing James Vhezheni ndiro Shoko raMwari risingakanganisi. Asi umwe neumwe wedu anofanira kuita sarudzo idzi. Sarudzo iri pakati pemunhu umwe neumwe naIshe Jesu. Haina chekuita nekereke.
Kana mukagamuchira zvizere ruregerero kubva kuzvivi runopihwa naJesu, hakuna munhu anogona kutora nzvimbo yaJesu mumoyo menyu. Nekuti hakuna munhu anogona kuregerera zvivi zvenyu.