Willam Branham ndiye here Muprofita weNguva yeKupedzisira kuvaHedheni?
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Pauro akadzidzisa Timotio kuti angazivisa sei Chokwadi. Tinodawo kuzivisa chidzidzo chino nenzira imwechete iyoyo.
2 Timotio 2:24 Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa,
Tinofanira kugarotambira kuzvidzwa kwese kunouya nekuda kwezvatinotenda. Izvi zvinotimanikidza kugona kuzvifungira uye kutigonesa kukunda chakaipa chese mukutenda kwedu.
Hurumende inoripira bato rinopikisa kuti ripokane nekunongedzera kukanganisa kwayo uye kupa imwe sarudzo.
Nei makereke achitya kwazvo dzimwe pfungwa dzinopokana nawo?
Zvinokonzereswa chete nekutya kuparara.
Kana tisingazivi kuti totsigira sei dzidziso dzedu neMagwaro tinenge tisingadi kunzwa pachiuya mibvunzo nekuda kwadzo.
Saka zvakanaka kuti vanhu vabvunze kuti William Branham aive muprofita here kana kwete. Tinofanira kufunga zvakanaka pamusoro penyaya iyi.
Kupikiswa kuzhinji kunouya pahushumiri hwaWilliam Branham ndekwekuti akambokanganisa zvimwe zvinhu pane dzimwe nguva. Vanopikisa vakaburitsa pachena kuti zvimwe zvaakataura kana zvinhu zvaakaita zvaive zvakaipa.
Saka zvinoyananisirwa zvichinzi vanopikisa ava vanokwanisa kumuti aive asiri muprofita kana kuti aive muprofita wenhema nekuda kwekukanganisa kwese uku here?
Vanopikisa vanoti muprofita anofanira kuva akanaka asina chipomerwa asingatadzi zvachose tisati tavimba maari pane chero chinhu.
Iyi inzira yakanaka here kutonga hushumiri hwemuprofita?
Ngatitarisei zvinotaura Bhaibheri.
JOBO 15:15 Tarira, haatendi (Mwari) vatsvene vake; Zvirokwazvo, kudenga hakuna kunaka pamberi pake.
VAROMA 3:9 Zvino todiniko? Tinovapfuvura here? Kwete napaduku; nokuti tambopa vose mhosva, vaJuda navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi;
10 Sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.
ISAYA 64:6 Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
Magwaro anoburitsa pachena kuti hakuna munhu (kunze kwaJesu) akarurama.
Saka Mwari anotora sei kukanganisa kwese kwakaitwa nemaprofita ake munguva dzakadarika?
Mwari anovatonga nezvavakaita zvakanaka, kana vakazadzisa Magwaro avakaitirwa naMwari kuti vazadzise, pavaive vakazodzwa naMwari. Mwari anosarudza zvakanaka zvavakaita pachinzvimbo chekuvaranga nekuda kwezvakaipa zvavakaita pavaikanganisa sevanhu venyama kuzodza kwaMwari pakwaive kusiri pavari. Asi vakaripira muripo wezvakaipa zvavo.
Maprofita vanhu vasingawanikwi wanikwi. Magwaro anotaura nezvavo uye ivo varipo kuzadzisa Magwaro iwayo. Havana imwe sarudzo kunze kwekuita zvinodiwa kuti vaite naMwari. Mwari anovaita kuti vaite kuda kwake chero vachizoda kutiza kubva pane zvinodiwa kuti vaite naMwari (sezvakaitwa naJona). Mutoro usingatizike wakaiswa pavari naMwari unovaisa pasi pekumanikidzika kwakasarudzika uye kupikiswa kukuru kubva kuvanhu uye naSatani. Saka vanokwanisa kugumburwa vachiwa mune zvimwe zvikamu zvehupenyu hwavo asi kuita kwezvese zvinowira vanhu izvi hakuvamisi kuita zvinodiwa kuti vaite naMwari. Zvavanofanira kuitira Mwari zvinopa vatendi venguva yavo gwara nekutungamirirwa kwakakwana.
Zvipo zvinowanikwa nevatendi vese vechokwadi kubva pahushumiri hwemuprofita hweMagwaro vogona kubva pakukanganisa kwavo vachipinda muKuda kwaMwari kwakarurama ndipo panobva nheyo dzaMwari dzekutonga kubudirira kwehushumiri hwemuprofita iyeye. Kukanganisa kwakaitwa nemuprofita kudika kana zvichienzaniswa nekukanganisa kwevatendi vese kwaakagona kugadzirisa. Saka Mwari anosarudza kumupa mubairo nekuda kwezvakawanda zvakanaka zvaakaita pachinzvimbo chekumuranga pamusoro pekutadza kuduku kwaakaita.
Mwari anovimba mune zvaanoita iye chete. Saka Mweya waMwari unozodza muprofita woita kuti muprofita azadzise Magwaro aakasarudzirwa kuti azadzise. Mwari anobva afara nekuti iri rinenge riri basa rake, kwete remuprofita. Muhupenyu hwemuprofita hwese, kuzodza kwaMwari pakunenge kusingashandisi muprofita apo mweya wake wemunhu paunenge uchiita sarudzo dzake nepaanogona napo pese, Mwari haatongoshamiswi zvachose kuti muprofita anokanganisa. Asi kune mubairo wekuripira kukanganisa kwake.
JEREMIA 10:23 Haiwa, JEHOVA, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.
Gorosi rinofanirwa kupurwa kuti ribude muhundi yakaputira tsanga imwe neimwe. Ibasa rine tsvina kwazvo rinoda kushanda kukuru. Saka vatendi vechokwadi vanotarisirwa kuita basa guru rekutsaura chokwadi chinenge chaziviswa nemuprofita kubva mukukanganisa kwese kwakapoteredza kuita kwevanhu.
Vanhu zviuru nezviuru vari kufa munjodzi dzemumigwagwa gore rega rega, asi zvisinei nenjodzi dzese idzodzo dzinokonzereswa nekukanganisa kwevanhu tinoramba tichityaira motokari.
Hatirambe motokari nekuti dzinofambidzana nekukanganisa kwevanhu.
Motokari dzinoita zvakanaka zvakawanda kudarika zvakaipa, ndicho chikonzero nei tichiramba tichidzishandisa.
Ngatitarisei mamwe maprofita anozivikana kwazvo “akanaka”:
NUMERI 20:7 Zvino JEHOVA akataura naMosesi, akati,
8 "Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo."
9 Ipapo Mosesi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJEHOVA, sezvaakanga arairwa naye.
10 Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, "Zvino, chinzwai, imwi vokumukira JEHOVA, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?"
11 Ipapo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji-zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.
Mosesi akarova Dombo (Kristu) kaviri pachinzvimbo chekurirova kamwechete. Izvi zvakamupinza mumhosva huru naMwari, Mwari akamuranga nekuita kuti asapinde munyika yechipikirwa.
Chokwadi, haana kuterera Mwari asi nei akapihwa murango wakaoma kudaro?
Tinoda muono wakadzama kana tichizoda kutsanangura zvinhu zvakaita saizvozvo.
Ndiyani achatidzidzisa miono yakadzama iyi?
I VAKORINTE 10:4 Vose vakanwa zvokunwa padombo romweya rakavatevera; Dombo iro rakanga riri Kristu.
NUMERI 20:12 Ipapo JEHOVA akati kuna Mosesi naAroni, "Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa."
Saka Mwari, kwete munhu, akaranga Mosesi nekuda kwezvaakatadza.
Asi kukanganisa kukuru uku kwakatadzisa Mosesi kuti ave muprofita mukuru here?
DEUTERONOMIO 34:10 Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMosesi, wakanga achizikanwa naJEHOVA, zviso zvakatarisana;
Aya ndiwo aive mafungiro aMwari ekupedzisira pamusoro paMosesi asati afa. Mwari akamupa mubairo pamusoro pezvaakaita zvakanaka pachinzvimbo chekumuparadza nekuda kwezvakaipa zvake.
Muprofita mumwe nomumwe ane basa rakasarudzika rekuitira Mwari sezvo zano raMwari guru remweya kurudzi rwevanhu serushinda rinorudunuka kudarika munhorondo yevanhu.
Saka muprofita anofamba munzvimbo mbiri. Anorarama munzvimbo ino yezvenyama zvinobatika ine kuda kwake sesu tese, achikanganisa, sesu tese.
Naiyewo ane chipo chakasarudzika apo anotaura naMwari munzvimbo dzemweya kupfurikidza zviratidzo nevatumwa nezvemweya unoshamisa. Mwari anomuudza zvekuita omushandisa kutaura nevanhu orebesa rushinda rweKuda kwaMwari kwakarurama apo Mwari anotonga nekutungamirira vatendi vake vechokwadi. Mugove wehushumiri hwemuprofita hunobva paMagwaro zvakazara sezvo Mwari anenge achimutonga nguva idzodzo.
Apo kuda kuduku kwemunhu anotenda kukakunda kuputirwa mudutu reKuda kwaMwari kwakarurama, zvino dutu iroro risingaonekwe rinokweva mutendi iyeye achifamba nenzira yaMwari inenge ichidiwa naMwari kuti afambe nayo.
Ndizvo zvinozoshandiswa naMwari kutonga vose mutendi nemuprofita.
Muprofita anoita nekutaura zvaanenge anzi naMwari aite nekutaura here?
Mutendi akaterera Magwaro pane zvakataurwa nemuprofita akafamba achitevera gwara iroro here?
Kukundikana kwemuprofita mune zvimwe zvinhu zvehupenyu hwemunhu hwenyama idambudziko riri pachena rinounza kurangwa asi kukanganisa kwevanhu uku hakugoni kubvisa chakanaka chaakaitira hurongwa hwaMwari hukuru husingaonekwe hunoshanda husina anoona munzvimbo dzemweya dzekuda kwaMwari kwakarurama, hunova Muono Mukuru waMwari.
Eria, munhu mumwe chete, akasimuka nekushinga kukuru pamberi pevaprofita vaBaari 450 akawisa moto kubva kudenga kuti apise chibairo chake. Akabva aita kuti maprofita 450 auraiwe, iri raive simba remweya unoshamisa raida kushinga kukuru.
Zvino, nekutya, akatiza mukadzi Jezeberi, nekukasika nepese paaigona napo. Uhu hwaive husiri hugamba.
I MADZIMAMBO 18:36 Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, "Imi JEHOVA, Mwari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.
Saka Eria aive azadzisa Shoko raMwari. Akaita zvaaive audzwa naMwari kuti aite. Ichi chaive chikamu cheMuono Mukuru waMwari pazvaiitika. Ndihwo hwaive hushumiri hwaEria kuzodza kwaMwari pakwaive kwaari.
37 Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehova ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve moyo yavo."
38 Ipapo moto waJehova wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.
39 Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, "Jehova ndiye Mwari, Jehova ndiye Mwari!"
40 Eria akati kwavari, "Batai vaporofita vaBaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo." Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
Eria ndiye aive mukono wemutambo pachiitiko ichi. Aive aratidza kuti Baari aive mwari wenhema akaparadza vanhu mazana mana nemakumi mashanu vaiparidza chitendero chaBaari chenhema. Izvi zvakamanikidza maJuda kutenda kuti Mwari aive Mwari wechokwadi. Muono Mukuru waMwari waive mugwara chairo. Basa raEria raive rekutendeutsira vaIsraeri kubva kuchipegani kuenda kuChokwadi. Muprofita, munhu mukuru sezvaaive, angori muranda waMwari waanoshandisa kutungamiria vanhu vazere zvivi kudzoka kunaMwari. Kuita kukuru uku kwakazunza Israeri yese kutenda muna Mwari kukadzoserwa. Eria aive akunda kuita basa raMwari.
Zvinhu zvakabva zvashanduka pakarepo. Kwakava nekudzosera kwaJezeberi.
I MADZIMAMBO 19:2 Ipapo Jezeberi akatuma nhume kuna Eria, akati, "Vamwari ngavandirove, ngavarambe vachidaro, kana ini ndikasafananidza upenyu hwako noupenyu hwomumwe wavo mangwana nenguva ino."
3 Zvino wakati achiona izvozvo, akasimuka, akatiza, kuti arege kuurawa, akasvika paBheerishebha raiva raJuda, akasiya muranda wake ipapo.
Eria “akatiza” zvinoreva kuti akamhanya nekukasika achibva kwaaive.
Pakarepo kushinga kwake kwakabva kwaari.
Kuzodza kwaMwari kwaive kusisiri pamusoro pake akaita zvinongoitwa nemunhu. Zvisinei, ichi chaingove chiitiko chiduku chaisazokanganisa hurongwa hwemuono mukuru waMwari waive wazadziswa kare. Saka Jezeberi nekutyisidzira kwake kwakaita kuti Eria aite sarudzo yekukasika pakati pesarudzo dzaaive nadzo semunhu wenyama, rwisa kana tiza, akasarudza kutiza. Asi izvi zvakangokanganisa zvinhu zviduku -duku zvehupenyu hwake hwenyama. Chiitiko chaityisa pakati pake nevaprofita vaBaari chaive charatidza maJuda kuti Jehova aive nesimba gurusa kudarika Baari. Hakuna chaigona kushandura zvinhu, waive Muono Mukuru waMwari.
Nekusarudza kutiza, Eria akatendera vaimupikisa kuti vamuite gwara.
Sarudzo iyi yaive chikamu chemuono muduku waEria waisanganisira hupenyu hwake semunhu aigara pasi pesimba renyika yake. Sarudzo yake akaiita semunhu anotadza, kwete semuranda waMwari asingatadzi aiita zvaaive audzwa naMwari kuti aite.
Vanhu venyama vanotadza vanokanganisa. Vanhu vazhinji vaizomudaidza kuti gwara.
Kuita kwake kwehugwara uku kwakaita kuti Mwari vasamuone semuprofita akashinga here? Regani tione.
Johane Mubapatidzi, muprofita mukuru, akafananidzwa naEria (rinopereterwa richinzi Erija muchiGiriki) nemutumwa. Johane aifanira kuva akashinga zvakanyanya. Akapikisa vatungamiri vese vechiJuda uyezve mambo Herode. Zvikuru sei akapikisa Israeri yese zvaida kushinga kukuru sezvo maJuda vaive vanhu vakaoma moyo.
RUKA 1:13 Mutumwa akati kwaari Usatya Zakaria, Nokuti kukumbira kwako kwanzwika, mukadzi wako Erisabeta uchakuberekera mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Johane.
RUKA 1:17 Uchafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria,
Saka mutumwa akafananidza Johane nemweya wekushinga waive muna Eria paakaratidzira simba raMwari pamaprofita enhema mazana mana nemakumi mashanu.
Apa hapana kutaurwa pamusoro paEria achitiza nehupenyu hwake kubva kumukadzi mumwechete. Mwari akangorangarira kumira kwake nekushinga, kwete nguva dzekukundikana kwake.
KuEgipita, Josefa akaedza kukurudzira vakoma vake kuti vasaudze Farao kuti vaive vafudzi. Vafudzi vaive chinyangadzo kuvaEgipita. Saka Josefa aida kuti vakoma vake vanyepe.
GENESISI 46:31 Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba yababa vake, "Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, `Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri';
GENESISI 46:33 Zvino kana modanwa naFarao, akati, `Basa renyu nderei?'
34 Muti, `Varanda venyu vaiva vapfuwi vezvipfuwo kubva paucheche hwedu kusvikira zvino, isu namadzibaba edu;' kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti vafudzi vose vanonyangadza vaIjipiti."
Saka muprofita Josefa ndiye aive munhu akaipa, achikurudzira vakoma vake kuti vanyepe kupfurikidza kusataura kuti vaive vafudzi.
Vakoma vake, vaive vasiri vaprofita, vakaita vanhu vakanaka vakataura chokwadi pamusoro pehupenyu hwavo.
GENESISI 47:3 Farao akati kuvakoma vake, "Basa renyu ndereiko?" Vakati kuna Farao, "Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose."
Saka kana muprofita akaraira vanhu zvichibva pamafungiro ake iye anova munhu akaipa kwazvo. Maprofita havafaniri kuudza vanhu zvinhu zvepfungwa dzavo. Asi nekuti vanhu, vanoita saizvozvo. Asi zvinofungwa nemuprofita kana fungidziro dzake pamusoro pezvakaitika hazvina kukosha kudarika mafungiro evamwe vanhu zvinenge zvakangofanana. Mukatenda zvinobva mupfungwa dzake imhaka yenyu.
Saka Mwari akataura sei pamusoro paJosefa? Akataura pamusoro pake semuprofita akakundikana akazoita murevi wenhema here?
Kwete. Mwari akapa Josefa zaruriro pamusoro perumuko rwaizoitika munguva yaizouya muParesitina umo vatsvene veTestamente Itsva vaizomuka kubva kuvakafa mumashure mekumuka kwaJesu.
Mwari akaratidzawo Josefa kuti rimwe remazuva maJuda achabuda muEgipita.
Josefa aida kuvapo muParesitina kuitira kuti ave chikamu cherumuko rwaizoitika saka akaudza maJuda kuti kana vakubva muEgipita vaifanira kutakura marangwanda ake vonomaviga muParesitina.
GENESISI 50:24 Josefa akati kuhama dzake, "Ndofa, asi Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yaakapikira Abrahama naIsaka, naJakobo."
25 Josefa akapikisa vana vaIsiraeri, akati, "Mwari achakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano."
Tarisai zvakazoitika kumberi mumashure mekurovererwa kwaJesu paCalvari:
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
52 Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
53 Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
Vatsvene veTestamente Yekare vakamutswa kubva kuvakafa. Zvakaprofitwa naJosefa zvakazadziswa.
Zvakare Mwari akaremekedza nekutarisira muprofita wake nekuda kwezvinhu zvikuru zvaaive aitira Mwari. Chinhu chekuti Josefa aikwanisa kuprofita pamusoro pezvichaitika nekuva chikamu cherumuko rwaakaprofita urwu zvaireva kuti nhema dzake dzaive dzisina kumubvisa pakuva muprofita.
Mwari akavimbisa Abrahama, ave nemakore zana, mwanakomana, mwanakomana muhutana hwake Abrahama akawira pasi achiseka nekufunga kwake kuti zvaisagoneka sezvo aive asina kutenda kuti vimbiso yaMwari yaigona kuzadzisika.
GENESISI 17:15 Mwari akatiwo kuna Abrahama, "Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara;
16 Ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari."
17 Ipapo Abrahama wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, "Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?"
18 Abrahama akati kuna Mwari, "Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu!"
Abrahama haana kutenda Mwari (chivi chikuru kwazvo) akaedza kubatsira Mwari nekugamuchira Ishimaeri semwana wechipikirwa chaMwari.
Abrahama achipa Mwari zano!
Zvakaipisisa sezvo aiisa pfungwa dzake dzenyama pamusoro peShoko raMwari. Idzi ndidzo tsika dzavaNikoraiti – kusimudzira mazwi evanhu pamusoro peMagwaro.
Kukanganisa kukuru kwaAbrahama kwaive kusavimbika kuna Sara nekuita mwanakomana naHagai, muranda waSara. Apa akupa Ishimaeri, chibereko chekutadza kwake kukuru, kuna Mwari sekunge aive aitira Mwari zvakanaka.
Tsika dzavaNikoraiti dzinoparidzwa dzichinzi kusimudzirwa kwakaipa pamusoro pevanhu nekuisa mifungo nemazano enyu pamusoro pavo pachinzvimbo cheShoko raMwari. Zvaitaurwa naAbrahama kuna Mwari zvaive zvekuti nekugamuchira Ishimaeri semwanakomana wechipikirwa, maArabu vaizova rudzi rwaMwari rwakasanangurwa, kwete maJuda.
Pachinzvimbo chekutendeuka, pamusoro pekutadza kwaakaita naHagai, Abrahama aiedza kuburitsa pachena kuti hupombwe hwake hwaizobatsira Mwari kumuitira mwanakomana, osiya Mwari nebasa risingagoneki rekuunza Messiasi kubva murudzi rwaizova rwakazadzwa nechiIsramu.
Abrahama aive atotanga kuda kuipisa zano guru raMwari.
Akaripira muripo waIshmaeri. Hagai akavenga Sara aive asina mbereko. Kusvika pazuva ranhasi vana vaIshmaeri (maArabu) vachiri vakavenga uye vachiri kuedza kuparadza vana vaIsaka (maJuda).
Saka Mwari akamubvisa semunhu aisatenda kuShoko raMwari, zvakaipa zvacho semunhu aipa zano rekuti dzinza rese raMessiasi ribviswe. Dai mafungiro aAbrahama akatambirwa, Diaborosi angadai akakurira zano raMwari zvakanakisa.
Jesu aisakwanisa zvachose kuuya kupfurikidza dzinza raIshimaeri. Ishimaeri aive chibereko chehupombwe nekuti Sara aive amupa mvumo yekupinda kumuranda wake Hagai.
Sara, achimira semuparidzi wechidzimai nezano rake rakanakisa rekuti vaizobatira Mwari sei, akaberekesa rudzi rwemaArabu. Hondo dzese dzisingaperi dzekuMiddle East, kukwira kwakanyanya kwemafuta, kuparara kweLibya nekuda kwekukura kwemaMosiremu, uyezve ruvengu rukuru rwemaArabu kumaJuda, ndizvo zvimwe zvezvibereko zvemharidzo yake.
Kufunga kwake kwakabereka Ishimaeri nemaArabu vavengi vakuru vemaJuda vanova chibereko chemwanakomana waSara wechokwadi Isaka.
Asi pano tinoona Abrahama achida kugadzirisa kutadza kwake kwekuita hupombwe naHagai nekuda kuti Mwari agamuchire Ishimaeri semwanakomana wake wechipikirwa. Mwanakomana wechipikirwa achiuya kupfurikidza hupombwe? Zvingaipe kudarika izvi ndezvipi?
Abrahama akaramba achiwedzera kutadza kwake. Mwari aive asina kubvira avimbisa Abrahama kuti aizomupa Ishimaeri. Ishimaeri aive chibereko chekufunga kwakaipa kwaive kwaitwa naSara kutadza kwakakurisa kwaAbrahama kwaive kwekuterera mukadzi wake pazano rekutenda raakamupa kuti azadzise zano raMwari kupfurikidza kuti Abrahama aite mwanakomana wake wechipikirwa nehupombwe naHagai. Saka Sara akakunda kuita muparidzi wechidzimai. Saka Abrahama akaterera kumukadzi achiparidza akapa zano remukadzi iyeye kuna Mwari.
Abrahama aive ava pakadzika dzika pekutadza uye abva panzira zvakanyanya.
Zvakafanana, Adamu aive aterera mukadzi wake nezano rake rekutenda kuti vangaterere sei Mwari nekuita vana kupfurikidza kusangana pabonde. Tese nanhasi tichiri kurarama nemubairo wechivi ichocho.
Saka kana muprofita akapa mafungiro ake kazhinji zvinenge zvakatoipisisa. Abrahama aive apinda anyura mumitsara yekutadza.
Izvi zvakamubvisa pakuva muprofita here?
GENESISI 18:16 Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodoma; Abrahama akaenda navo achivaperekedza.
17 Zvino JEHOVA akati, "Ndichavanzira Abrahama zvandinoita here?
Muchaputa yakatevera iyi akatora Abrahama semuprofita nekuramba kuviga zano rake raitevera kuna Abrahama. Ndicho chikonzero nei chiprofita chiri pamusoro: pekuziva zvichaitwa naMwari nguva inouya.
Zvisinei nekukakavadzana naMwari pamusoro pekuberekwa kwaIsaka uye kukanganisa kwake kukuru panaIshimaeri kuti ave mwanakomana wake wechipikirwa (uyo aisazogona kubereka Messiasi zvachose), uye tisingakanganwi kuti aive audza Sara kuti asataure kuti aive mukadzi wake, dzaive nhema: Abrahama akaramba ari muprofita.
Dai mumwe murume akatora Sara akagara naye kumuita mukadzi wake, dai mutsetse waizobereka Messiasi wakaparadzwa. Abrahama aive pagwara rekuparadza zano raMwari raive rakagadzirwa zvakanakisa. Abrahama akanyepa akapa Sara kune mumwe murume kuti azviraramise iye.
Kana muchida kuwana zvakaipa pamusoro pemuprofita Abrahama ndiye mumwe anokwanisa kudamburwa damburwa nezvakaipa zvake.
GENESISI 20:1 Zvino Abrahama wakabvapo, akaenda kunyika yenyasi, akandogara pakati peKadheshi neShuri; akava mutorwa muGerari.
2 Abrahama akati pamusoro paSara, mukadzi wake, "Ihanzvadzi yangu." Abimereki, mambo weGerari, akatuma vanhu kundotora Sara.
Zvino Abimereki akada kuziva kuti nei Abrahama aive asina kumuudza chokwadi chekuti Sara aive mukadzi wake.
GENESISI 20:10 Abhimereki akati kuna Abrahama, "Wanga uchiti kudiniko, zvawaita chinhu ichi?"
11 Abhurahamu akati, "Nokuti ndakati, `Zvirokwazvo havatyi Mwari panzvimbo ino; zvimwe vachandiuraya pamusoro pomukadzi wangu.'
Saka, pamusoro pazvose, tinoona kuti maprofita vanhu. Vanokwanisa kuva nekutya nekutadza kwakaita sekwedu tese. Vanokwanisawo kukanganisa.
Zvino tinobva tasvika panguva yechokwadi.
Pauro akatonga sei kuita kwaAbrahama paakanyora pamusoro paAbrahama muTestamente Itsva?
Abrahama aive akaita zvakanaka zvakawanda, asiwo aive aita zvakaipa zvakawanda. Kupa mukadzi wake kune mumwe murume kuti iye ararame kuita kusingagamuchiriki nechero munhurume. Kunyanya kana kuita ikoko kuchizokanganisa rudzi rwaizobereka Messiasi.
Pauro zvisinei akarumbidza Abrahama kwazvo nekuda kwekutenda kwake akasataura kana shoko rimwe pamusoro pekukanganisa kwake. Kutadza kwaAbrahama kwaive kwakaipisisa nekuti akanyepa kaviri kese pamusoro pekuti Sara aive asiri mukadzi wake.
Asi muTestamente Itsva Mwari aive abvisa zvakaipa zvake zvese zvanatswa.
VAROMA 4:16 Saka ndezvokutenda, kuti, zvive zvenyasha; kuti chipikirwa chive nesimba kurudzi rwose; rusati ruri rwomurairo bedzi, asi norwokutenda kwaAbrahama vo, iye baba vedu tose,
VAHEBERU 11:1 Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni.
2 Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka.
VAHEBERU 11:8 Nokutenda Abrahama, wakati adanwa, akaterera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi uchaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda.
9 Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye.
Nei?
Mwari akaisa Abrahama panyika kuti isu tigotenda murumuko. Akawana Isaka kubva mumuviri wake “wakafa” wemakore zana uye akatenda mukumutswa kwevakafa zvekuti Mwari paakamuudza kuti auraye Isaka akafara kuterera nekuti aiziva kuti Mwari aizomutsa Isaka kubva kurufu.
GENESISI 22:2 Akati, "Zvino tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibayiro chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza."
4 Zvino nomusi wetatu Abrahama akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure.
5 Abrahama akati kumajaya ake, "imwi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri."
Abrahama aiziva kuti aienda kunouraya Isaka. Asi akavimbisa varanda vake kuti iye naIsaka vose vaizodzoka. Saka pagomo reMoria, apo paizovakwa Tembere naSoromoni, Abrahama akagadzirira kuuraya mwanakomana wake (mucherechedzo weMwanakomana waMwari).
Mukati mazvo zvese, Abrahama aive nechokwadi chekuti Isaka akafa aizomuka kuva mupenyu.
Aive akunda muedzo ungatarisane nechero baba kuti vaite. Kuuraya mwana wako moona kuti Mwari angamumutse here kubva kuvakafa.
Saka Abrahama aive murume akasimba mukuvakwa kweEvangeri rekumutswa kweMwanakomana chaiye, Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
Paaigadzirira kuuraya Isaka, Mwari akapindira.
GENESISI 22:13 Abrahama akasimudza meso ake, akatarira, ndokuona shure kwake hondohwe yakanga yakabatwa nyanga dzayo mugwenzi. Abrahama akatora hondohwe iya, akaipisa chikava chibayiro panzvimbo yomwanakomana wake.
Mumashure menzvimbo yaizovakwa Tembere pagomo reMoria kwaive negomo reCalvari. Pagomo reCalvari paive negondohwe rehwai raive risina simba, raive rakabatwa nyanga dzaro. Izvi zvaive mucherechedzo waJesu aive asine simba nezvipikiri zvakapinza zvaive zvakamuroverera pamuchinjikwa. Mwanakomana waMwari uyu aizofa sezvakaita gondohwe sechibairo pachinzvimbo chaIsaka (aive mucherechedzo werudzi rwevanhu) asi Jesu aizomukawo kubva kuvakafa zuva retatu.
Saka Abrahama akatanga dzidziso yekumuka kwevakafa nekutenda kuti Mumwe aizouya aizofa omuka zvakare.
GENESISI 22:7 Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, "Baba vangu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu, mwana wangu." Akati: "Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?"
8 Abrahama akati, "Mwari uchatipa amene gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;" saizvozvo vakafamba vari vaviri.
Abrahama akazivisawo kuti kuna Mwari mumwechete.
Haana kuti Mwari achamupa gwayana.
Akati Mwari uchapa amene.
Mwari pachake aizova Gwaiana.
Abrahama akaita gwara rekutenda mukumuka kwevakafa uye kutenda kuti iye Mwari pachake achava Gwaiana rechibairo. Abrahama aive abereka mwanakomana wechipikirwa Isaka.
Izvi zvese zvaive chikamu chemuomo mukuru waMwari uye Abrahama aive azviita zvakanaka. Saka Pauro akamupa zvibodzwa zana kubva muzana.
Ko kukanganisa kwaAbrahama kuzhinji. Ndiri kuedza kutaura kuti, akanyepa. Zvichibva kuna Pauro Abrahama aive aita zvaaive atumwa naMwari kuti aite, saka kukanganisa kwake kwese, uye kwaive kuzhinji kwakaipisisa, kwakangoonekwa sekukanganisa kwemunhu kuri muchikamu chemuono wake iye ega. Mwari akazomuranga neruvengo rwakazoitwa naIshimaeri kuna Isaka, maive musina rugare mumhuri. Akaripira kukanganisa kwake.
Kukanganisa kwaAbrahama hakuna kuita nheyo dzekuti tizive Mwari, saka tinokufuratira mumuono mukuru. Asi kutenda kwake mukumutswa kwevakafa ikurudziro huru kwatiri nekuti tese takananga kumakuva uye tinoda kutenda mukumutswa zvakasimba sezvakaitwa naAbrahama kuti tigobuda mumakuva edu.
Zvaakaita muKuda kwaMwari kwakarurama ndizvo zvinorangarirwa. Kwete kukanganisa kwake kuzhinji kwaibva pakukundikana kwake semunhu wenyama.
Saka tinodzidza chidzidzo chinodakadza. Zvamunoita muKuda kwaMwari kwakarurama chete ndizvo zvichatariswa sezvakakosha. Mumazuva edu zvinoreva kuti kudzoserwa pakutenda kwakaitwa nekereke yekutanga yeTestamente Itsva.
Bhaibheri harina kuviga kukanganisa kwaAbrahama.
Makasununguka kunongedzera kukanganisa kwese kwakaitwa naWilliam Branham. Hapana chakaipa ipapo.
Asi kana mukashandisa kukanganisa ikoko kumubvisa pakudaidzwa kunzi muprofita, munenge masiya kutevera Magwaro nekuti hakusiko kutongwa kunoitwa muprofita naMwari.
Munofanira kutanga kutsvaga muBhaibheri kuti muone zvakaprofitwa pamusoro paEria wenguva yekupedzisira, uye kana William Branham achizadzisa izvozvo anenge ari ndiye muprofita wenguva yekupedzisira, zvisinei nekukanganisa kwese kwaakaita mune zvimwe zvinhu.
Pamwe akanyepa achitaura nyaya yehupenyu hwake.
Abrahama akaudza mambo zvishoma pamusoro pehupenyu hwake nekutaura kuti Sara aive hanzvadzi yake (chaive chokwadi, aive hanzvadzi yake yeropa) asi akanyepa kupfurikidza kusataura kuti aive akaroorana naye asi aiziva kuti mambo vaida kuroora Sara, uye kuti aisazoita izvozvo dai aiziva kuti aive mukadzi akaroorwa.
Saka chero muchikamu chiduku chehupenyu hwake Abrahama akakwanisa kureva nhema. Saka maprofita anonyepa. Chinhu chisingadakadzi chatinofanira kudzidza kurarama nacho. Mwari haatumi muprofita kuzotiudza nyaya yehupenyu hwake. Saka kutarisisa pamusoro pehupenyu hwake kupesana nechikonzero chaakatumirwa panyika chaicho.
Kana muchifunga kuti Abrahama akabviswa pakuva muprofita, mafungiro enyu akarasika. Kana muchifunga kuti maprofita vanhu vasingatadzi, mafungiro enyu akaipa, nekuti Mwari iye ari ega ndiye akarurama asingatadzi.
Mwanakomana waAbrahama Isaka akaita chitadzo chakafanana nechaAbrahama.
Isaka akareva nhemha dzimwechete pamusoro paRabeka kuti aive asiri mukadzi wake.
GENESISI 26:6 Isaka akagara Gerari;
7 Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, "Ihanzvadzi yangu;" nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, "Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabeka;" nokuti akanga akanaka kumeso.
Saka Isaka akatadza zvakaipisisa. Nehugwara hwakanyanya. Akaisa mukadzi wake panjodzi yekutorwa nevamwe varume kuti aitiswe upombwe kuti iye aponese nyama yake. Izvi zvakaipisisa.
Tichaona kuti Mwari akati kudii pamusoro paIsaka Mwari paakazvizivisa kunaMosesi.
EKSODO 3:6 Akatiwo, "Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobo." Mosesi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.
Tinoziva zvakatadzikwa naIsaka.
Asi Isaka akaitei chaive chakanaka kuti awane kurumbidzwa kwakadai?
Mwari aive avimbisa mwanakomana kuna Abrahama saka nekudaro Isaka aive mwanakomana wechipikirwa.
Saka aive akamirira Mwanakomana waMwari wechipikirwa, Messiasi.
Akaita basa iri zvakanaka here?
Semwanakomana wechidiki, zvichimirira humwanakomana hwake, aive azvipira kufa paaritari yaAbrahama paGomo reMoria.
Aive rudzi rweMwanakomana waMwari akarurama aizova chipiriso paCalvari.
GENESIS 22:6 Abrahama akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri.
Isaka akatakura huni akakwira gomo.
Jesu akatakura muchinjikwa achikwira gomo reCalvari.
7 Isaka akataura naAbrahama, baba vake, akati, "Baba vangu! " Iye akati, "Ndiri pano hangu, mwana wangu." Akati: "Hoyu moto nehuni, asi hwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?"
8 Abrahama akati, "Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;" saizvozvo vakafamba vari vaviri.
9 Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abrahama akavakapo aritari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paaritari pamusoro pehuni.
Hapana kutaurwa kunzi akarwisa. Kuita uku kwakashamisa Isaka. Pakarepo, achikatyamadzwa, Isaka akaziva kuti aizofa.
Akaramba here? Kwete. Akaterera kuda kwababa vake zvakazara uye akazvipira kufa kana baba vake vaida chipiriso ichocho.
MARKO 14:32 Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichindonyengetera.
MARKO 14:36 Akati: Aba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa,asi kuda kwenyu.
Mumunda weGetsimani Jesu aida kubva pakutyisa kwekutakura zvivi zvedu zvese zvakaipa.
Ndiye aive chibairo chaifanira kutakura zvivi zvedu. Asi kutya kukuru kwekutakura zvivi zvevanhu vese zvakaipa kwakamubata. Akachemera nzira yekupunyuka nayo kuzvivi zvedu zvakaipa, zvinonyangadza.
MARKO 14:36 Akati: Aba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa,asi kuda kwenyu.
Asi akabva aita kuda kwaBaba vake asingarwisi kana kupokana, aive akazvipira kufa nekuti kuda kwaMwari kwakarurama kwaida ropa rake kuti riripire zvivi zvedu. Hapana kumwe kupikisa kunoenda mberi.
Uku ndiko kuzvipira kukuru panyama (Mwanakomana) kuti aite kuda kweMweya waigara maari (Baba).
10 Zvino Abrahama akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.
An innocent son sees the horror of death in that upraised knife and yet he offers no word of protest. Talk about being submissive to his father's will. Isaac, the son, comes out of this fiery test with a 100% rating. Mwanakomana asina mhosva anoona rufu rwakatarisana naye pabanga rakasimudzwa asi haana kupikisa. Kutaura pamusoro pekuzvipira nekuzvininipisa kuita kuda kwababa vake. Isaka, mwanakomana, anobuda kubva mukuedzwa kunotyisa arinezvibodzwa zana kubva muzana akakunda.
Isaka akasiya nhaka kurudzi rwese rwevanhu yekuti “tererai kusvika parufu”.
Hakuna kuedzwa kungasvikire munhu nhasi kungarema kudarika kuedzwa kwaIsaka.
Akava gamba.
Aiwa hongu, akaita zvakaipa paakafa. Asi munofunga here kuti izvi zvakamubvisa pakunzi muprofita?
Jakobo akabva anyepawo akanyengera baba vake Isaka achibira mukoma wake Esau makomborero ehukuru hwake.
Isaka paakachembera akatanga kutadza kuona. Akadaidza Isau kuti anovhima nyama kuti Isaka agomuropafadza nehukuru hwake sekuti aive mwanakomana wedangwe. Asi Rabeka naJokobo vaive vatoronga zano rekubira Isau nekunyengera Isaka. Rabeka akafukidza mavoko aJakobo nedehwe remhuka nekuti Esau aive munhu ane bvudzi rakawanda pamuviri wake. Akabika nyama nekukasika kuti Jakobo andopa Isaka. Jakobo akanyepera kuti aive Esau saka, nekunyepa, akawana hukuru nemaropafadzo ahwo.
GENESISI 27:1 Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, "Mwana wangu;" iye akati kwaari, "Ndiri pano hangu."
...
15 Zvino Rabeka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobo, mwanakomana wake muduku;
:16 Akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;
17 Akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobo, mwanakomana wake.
18 Iye akaenda kuna baba vake, akati, "Baba vangu;" ivo vakati, "Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?"
19 Jakobo akati kuna baba vake, "Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze."
20 Isaka akati kumwanakomana wake, "Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu?" Iye akati, "Nokuti JEHOVA, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu."
21 Isaka akati kuna Jakobo, "Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe."
22 Jakobo akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, "Inzwi, inzwi raJakobo, asi maoko maoko aEsau."
23 Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.
24 Akati, "Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here?" Iye akati, "Ndini iye."
Idzi dzaive nhema dzakaipa kwazvo dzakaitwa kuti munhu azviwanire makomborero. Mhosva yekunyengera.
Akabira mukoma wake aizorasikirwa nechinzvimbo chake. Akanyengera baba vake vaive vava vatana vari panhovo yerufu rwavo. Uku kuita kwakafumuka kwazvo.
Izvi zvaive zvakaipisisa kudarika kushandura zuva rakazvarwa munhu pamatsamba ekuberekwa kwake.
Izvi zvaifanira kubvisa Jakobo pakunzi muprofita waMwari here?
Asi kumberi, pedyo nekumagumo ehupenyu hwake, Jakobo akaprofita chiprofita chakanakisa kwazvo pamusoro paMessiasi aizouya kubva murudzi rwaJuda.
GENESISI 49:10 Tsvimbo youshe haingabvi kuna Juda, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye.
Izvi zvakazadziswa apo Jesu akazvarirwa kuBetrehema yaive munyika yaJuda.
MATEO 2:6 Newe Betrehema, nyika yeJudea, Hauzi muduku kwazvo kuvabati vaJuda, Nokuti kwauri kuchabuda Mutungamiriri, Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.
Saka vanhu vakuru kwazvo ava Abrahama, Isaka uye kunyanya Jakobo vakareva nhema.
Mwari akazotaura pamusoro pavo zvakadii kumazera akazotevera?
Iyi ndiyo nzira yakashandiswa naMwari kuzvizivisa kumuprofita mukuru Mosesi.
EKSODO 3:6 Akatiwo, "Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobo." Mozisi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari.
Jesu akataurawo pamusoro pevanhu vakuru vatatu ava.
MATEO 22:31 Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakavudzwa naMwari, paakati:
32 Ini ndiri Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobo? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.
Jesu akati:
RUKA 13:28 Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchivona Abrahama naIsaka naJakobo navaporofita vose vari muvushe bwaMwari, asi imi mabudiswa kunze.
Vanhu vatatu ava vakatadza asi havana kubva pakukosha kwavo muhurongwa hwaMwari hwakarurama, ndizvo zvega zvinoverengwa.
Jakobo akanyepa kuna baba vake zvikaita sekuti akapunyuka nenhema idzi. Asi kumberi vana vake vakamunyepera vakamuudza kuti mwanakomana wake waaidisa kwazvo Josefa aive aurawa nemhuka dzesango. Kwemakore akararama mumarwadzo kusvikira paakazosangana naJosefa kuEgipita.
Saka akaripira kunyepa kwake nemuripo unorwadza kwazvo, asi akaramba ari muprofita.
Chidzidzo 1: kana muprofita akaita zvaanenge atumwa naMwari anenge abudirira mumaziso aMwari nekuti Mwari anonyanya kuda Muono wake Mukuru unova Kuda kwaMwari kwakarurama.
Kana mukaramba muprofita nekuti anyepa kana kuti ataura zvaanofunga iye nepfungwa dzake kana ane zvimwe zvaakanganisa, munenge musingafungi nenzira inofunga naMwari.
Izvi zvinongoreva kuti munenge muri kunze kweKuda kwaMwari kwakarurama, uye haisi nzvimbo yakanaka kuwanikwa muri.
Babironi yakapamba Juda makore akapoteredza 588 BC vakatapa maJuda. Vaive varombo zvakanyanya ndivo vakaramba vari muJudea. Mwari akavaudza kupfurikidza muprofita Jeremia kuti vagare muJudea uye kuti vasaende kuEgipita.
JEREMIA 42:10 Kana muchinge muchada kugara munyika ino, ini ndichakuvakai, handingakukoromoriyi, ndichakusimai, handingakudzuriyi; nokuti ndinozvidemba pamusoro pezvakaipa zvandakakuitirai.'
11 "Musatya henyu mambo weBhabironi, iye wamunotya; musatya henyu, ndizvo zvinotaura Jehova; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruoko rwake.
13 Asi kana mukati, `Hatidi kugara munyika ino,' saizvozvo musingateereri inzwi raJehova Mwari wenyu,
14 muchiti, `Kwete, tichaenda kunyika yeEgipiti, kwatisingazooni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yezvokudya, tichandogarako;'
JEREMIA 42:19 "Jehova wakataura pamusoro penyu, imi vakasara vaJuda, achiti, `Regai kuenda Egipiti; zivai kwazvo kuti ndakakupupurirai nhasi.'
JEREMIA 43:4 Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, navanhu vose, havana kuteerera inzwi raJEHOVA, kuti vagare munyika yaJuda.
5 Asi Johanani mwanakomana waKarea, navakuru vose vehondo, vakatora vose vakasara vaJuda, vakanga vadzoka kumarudzi ose kwavakadzingirwa, vachida kugara vari vatorwa munyika yaJuda,
6 Vaiti, varume navakadzi navana navakunda vamambo nomunhu upi noupi akanga asiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, pamwechete naJeremia muporofita, naBharuki mwanakomana waNeria,
7 vakandosvika kunyika yeEgipiti; nokuti havana kuteerera inzwi raJehova; vakandosvika Tapanesi.
Jeremia akaenda kuEgipita Mwari amuudza kuti asaendeko.
Asi Jeremia aive muprofita mukuru.
Akanga audza vakanga vasara kuti vasaende kuEgipita, Jeremia akabva abatana navo kuenda Egipita. Uku handiko kwaaidiwa naMwari iye zvese nevashoma vemaJuda vaive vasara.
Saka Bhaibheri parinotiudza zvishoma pamusoro pehupenyu hwaJeremia, zvinhu zvine mhosva mukati nekuti rinoburitsa pachena kuti akambobuda muhurongwa hwaMwari.
Chidzidzo chechipiri: musatore nyaya yehupenyu hwemuprofita moikoshesa sezvo inogona kuva nezvakaipa zvizhinji.
Zvisinei nekurega kuterera Mwari, Jeremia akaramba ari muprofita.
JEREMIA 44:30 Zvanzi naJEHOVA, `Tarirai, ndichaisa Farao Hofira mambo weEgipiti, mumaoko avavengi vake, nomumaoko avanotsvaka kumuuraya, sezvandakaisa Zedhekia mambo waJuda mumaoko aNebhukadhirezari mambo weBabironi, vaiva muvengi wake, waitsvaka kumuuraya.'
Ichi chiprofita chakataura chokwadi chakazara.
Kana muchida kunzwa nekuziva pamusoro pehumwe hupenyu hwakarasika, edzai kutarisa muprofita Jona.
Akatiza pamberi paMwari, akamanikidzwa kudzokera Niniva asingadi, akazotsamwiswa nezvaive zvaitwa naMwari apo Mwari akaponesa Niniva, akakakavara pamberi paMwari.
Hamungabude mukuwirirana naMwari sezvakaitwa naJona.
JONA 1:1 Zvino shoko raJehova rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti,
2 "Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu."
3 Asi Jona akasimuka achida kutizira Tashishi abve pamberi paJEHOVA; akaburukira Jopa, akawana chikepe chakanga choenda Tashishi, akabudisa mari yacho yokufamba, ndokupinda mukati macho, kuti aende navo Tashishi abve pamberi paJehova.
Saka Jona akabva aenda nerumwe rutivi rwakasiyana nerwaaive audzwa kuti aende naMwari.
Zvino tarirai zvakazoitika mumashure mekunge Mwari aita kuti Jona asvike Niniva aparidzira vahedeni ikoko.
JONA 3:10 Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.
JONA 4:1 Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.
Apa Jona akatsamwira Mwari. Mwari anoda kuregerera vanhu veNiniva. Jona aida kuti vafe. Akanga abuda muhurongwa hwaMwari zvakazara uye mafungiro aMwari. Jona akazoterera Mwari pakupedzisira, asi akazviita asingadi.
JONA 4:9 Mwari akati kuna Jona, "Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi?" Akati, "Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene."
Pano Jona ari kukakavara.
Tarisai zvaari kutaura,: “Mwari, anogona kundiuraya nekutaura uku asi zvakanaka kuti nditsamwe nekuita kwaMwari”.
Kukakavara kwakazara, kunyanya kana zvichienzaniswa nekuzvininipisa kwaIsaka.
Tinokwanisa kubvisa Jona pakuva muprofita. Mukakavari akazara.
Kupupura kwake kwaive kwakarasika kwakazara kutadza.
Asi Mwari akafunga nerumwe rutivi.
Jona, zvisinei nekutadza kwake kuzhinji, akapedzisira akuita zvaidiwa naMwari kuti aiite. Jesu akatonga pamusoro pake nezvishoma zvaakanatsa akapima Jona zviri pamusoro-soro. Jesu akasimbisa kuti Jona aive muprofita zvisinei nekuti kuita kwake kwenyama yake kwaive kwakarasika zvakazara.
Jonasi ndiko kudaidzwa kwaJona muchiGiriki.
MATEO 12:39 Akapindura akati kwavari, rudzi rwakaipa runofeva runotsvaka chiratidzo asi harungapiwi chiratidzo. Asi chiratidzo chomuporofita Jona.
40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
41 Varume veNinivi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vacharupa mhosva. Nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona. Tarirai mukuru kuna Jona uri pano.
Jona akaita mucherechedzo wekufa (kukandirwa mugungwa rakatsamwa) kuvigwa (kumedzwa nehove kwemazuva matatu) nekumuka (kurutswa nehove kumahombekombe kwegungwa) kwaJesu Kristu.
Ichi ndicho chikamu chakanyanya kukosha paEvangeri sezvo ruponeso rwedu runobva pakufa, kuvigwa nekumuka kwaJesu Kristu. Chaivewo chikamu chakanyanya kuoma chehushumiri hwaJesu.
Vanhu veNiniva vaitenda muna mwari wehove Dagoni, vakabva vatambira Jona semuprofita wechokwadi nekuti vaive vaona achibuda mumuromo mamwari wavo wehove. Mbiri yake yakapararira nekukasika. Niniva raive guta guru reAsiria. Hwaive hushe hune hutsinye kwazvo munhorondo. Saka Jona aiziva kuti vaive vakafanirwa nekutonga kwaMwari. Asi vakatya kwazvo pamusoro pemuprofita akasvipwa namwari wehove akatsamwa, akaoma moyo zvekuti havana kuedza kukakavadzana naJona.
Jona mudududzi akatiza kubva pamberi pamwari, akakurudzira mutsiridzo huru kwazvo yeTestamente Yekare yevanhu 120,000 vaive vahedeni, zvisinei nekuti aive akatsamwa kwazvo pamusoro pekuita izvi zvose.
Saka munofunga kuti munoziva kutongera muprofita here?
Davidi akaita hupombwe nekuuraya.
Mwari akamuranga nerufu rwemwana akaberekwa kubva muchiitiko ichocho. Saka hapana chakaipa chatinoita chatinopunyuka pasina muripo pamberi paMwari.
Asi Jesu anotofara kudaidzwa kunzi Mwanakomana waDavidi.
Mapisarema aDavidi anoramba ari zvimwe zvezvinyorwa zvikuru zvinowanikwa panyika. Mapisarema ake anosanganisira zviprofita zvezviitiko zvepaCalvari.
MAPISAREMA 22:1 To the chief Musician upon Aijeleth Shahar, A Psalm of David.Kumutungamiriri wokuimba, nomuimbirwe weAjereti Hashi-shahari. Pisarema raDavidi.
Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Munomirireiko kure pakundibatsira, napamashoko okugomba kwangu?
MAPISAREMA 22:16 Nokuti imbwa (vaHedeni) dzakandikomberedza; Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza; Vakaboora maoko angu namakumbo angu;
MAPISAREMA 22:18 Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.
MAPISAREMA 110:4 JEHOVA akapika, haangazvidembi, achiti, "Iwe uri mupirisiti nokusingaperi. Unorudzi naMerikizedeki."
Pano Davidi akaprofita pamusoro pechiprista cheTestamente Itsva chaizotsiva chiprista chemuTembere yaizovakwa nemwanakomana waDavidi Soromoni.
Mureza weIsraeri, nyeredzi yaDavidi, ichiri kupeperetswa nemhepo iri muIsraeri semureza wakurisa pasi rese.
Zita raDavidi rinowanikwa pakawanda muBhaibheri kudarika mamwe mazita ese.
Asi Davidi akatoita zvakaipisisa kudarika mamwe maprofita ese. Saka Mwari akamuranga nekuda kwezvakaipa zvake, asi akaramba ari muprofita anozadzisa Kuda kwaMwari.
Johane Mubapatidzi aive mumwe wemaprofita makuru, zvakare aive mukuri wenzira yeKuuya kwekutanga kwaJesu.
Asi paakasungwa akaiswa mutorongo naHerode ziso rake regondo rakapera simba akatanga kukakavara kuti Jesu aive Messiasi.
MATEO 11:2 Zvino Johane, ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, vaviri.
3 Achiti kwaari, Ko ndimi iye wakanga achinzi unovuya here kana tichakatarira mumwe?
Uyu ndiwo watingati waive mubvunzo wakaipa kwazvo wakabvunzwa naJohane sezvo Johane ari iye akanongedzera Jesu kunyika.
Hushumiri hwaJohane hungadai husina kusvika pamuganhu wezasi.
Asi tarirai mhinduro yaJesu. Angadai akasvibisa zita raJohane akamubvisa pakunzi muprofita.
Pachinzvimbo akarumbidza Johane pane zvaaive aita, chikamu ichocho chehushumiri hwake chakazadzisa zvakarehwa neMagwaro.
MATEO 11:7 Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuvudza vanhu vazhinji pamusoro paJohane akati, makanga mabuda kunovoneiko kurenje? Rutsanga runozungunuswa nemhepo here?
MATEO 11:9 Asi makanga mabudireiko? Kuzovona muporofita here? Hongu ndinoti kwamuri, unopfuvura kwazvo muporofita.
10 Nokuti ndiye wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako, uchakugadzirira nzira yako pamberi pako.
11 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri; kuna vakaberekwa navakadzi hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubapatidzi, asi muduku muvushe hwokudenga mukuru kwaari.
Akataura Rugwaro rwaive rwazadziswa naJohane Mubapatidzi. Izvi zvakaita kuti Johane ave chikamu cheMuono Mukuru waMwari, saka Johane akatongwa nekukurira.
Muzvikamu zvemufananidzo muduku wake semunhu wenyama, hupenyu hwaJohane pachake hwakashaiwa chiratidzo pakupedzisira, tinoona kuti Johane aive atadza kwazvo pakupedzisira kwake. Asi izvi hazvina kubvisa muMagwaro zvakaprofitwa zvaaive azadzisa.
Rangarirai, muprofita anobatira Mwari chete muzvikamu zveMagwaro aanofanira kuzadzisa. Hupenyu hwake nezvimwe zvese zvaanoita hazvina kukosha muzvikamu zveMuono Mukuru waMwari.
Johane akanyora Bhuku raZvakazarurwa, akawira pasi kaviri kuti anamate mutumwa akarairwa. Asi nzvimbo yake semuprofita haina kubviswa.
ZVAKAZARURWA 19:10 Ipapo ndakawira pasi pamberi petsoka dzake, kuti ndimunamate. Akati kwandiri: Rega kudaro, nokuti ndiri muranda pamwe chete newe nehama dzako dzinobata kupupura kwaJesu; namata Mwari, nokuti kupupura kwaJesu ndiwo mweya wokuporofita
ZVAKAZARURWA 22:8 Ini Johane, ndini ndakanzwa, ndikavona izvozvi. Zvino ndakati ndichinzwa, nokuvona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi.
9 Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako, vaporofita, navanochengeta mashoko ebhuku iyi; namata Mwari.
Kunamata mutumwa!
Izvi zvaive zvakaipisisa. Pauro aive amboyambira nezvazvo.
VAKOROSE 2:18 Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
Kusvika pakuzviita kaviri munguva duku yakatevedzana. Johane aive asina chikonzero chekukanganisa zvakadaro.
Tinozvishandisa kumuzvidza here? Kwete. Tinoziva kuti akatadza ruviri. Izvi zvinongoratidza kuti, nekuva munhu mukuru sezvaaive, aive munhu wenyama pamusoro pazvose.
Asi pasi pasi pemoyo tinoziva kuti Bhuku raZvakazarurwa ndiro Bhuku rine zaruriro yakafemerwa zvakanyanya pane dzimwe zaruriro dzese dzakambopihwa kuvatumwa.
Munokwakisa kuwedzera zvakawanda kumutsetse wevatumwa ava vaive vasina kururama.
Elisha who had a money grabbing servant Gehazi. Erisha aive nemuranda aidisa mari kwazvo Gehazi.
Joshua akanyengerwa nevavakidzani vake vakapfeka nguvo sharu vakanyepedzera kunge vari kubva kure kwazvo.
Saka chero mupikisi anoda kuti muprofita ave akarurama pazvese haanzwisisi mashandiro aMwari.
Mwari haaisirwi miganhu nekusarurama kwevanhu. Anoshanda neKuda kwake kwakarurama kwakavanzwa, zvisinei nekutadza kwedu nekukundikana kwedu.
Mwari akatombotaura kupfurikidza mbongoro.
Jobo akati Mwari haatendi muvatsvene vake. Anoziva kuti isu vanhu tiri guruva uye tinokanganisa.
Muenzaniso: mukadzi akapfeka, rokwe rakanaka rakareba jena basa remaoko rakanaka. Kana donhwe reruvara rwekunyoresa rikadonhera parokwe nekuda kwekukanganisa kwemunhu kwaanenge aita. Vanhu vese vanoonei? Vanoona donhwe reruvara. Vanobva vaongorora pakakanganisika vasisagamuchiri runako nekubata kune simba kwakaitwa pakugadzira rokwe pacharo. Kukosha kwerokwe rese kunenge kwashaiswa basa. Ndiyo nzira yatinofunga nayo vanhu. Haina kujeka zvachose, ndizvo here?
Munhu mumwechete ndiye akarurama. Jesu Kristu.
Mumwe munhu mumwechete anoti haatadzi, Pope.
Hama Branham havasi Jesu Kristu. Saka musavaite kuti vave Pope wechipiri nekutaura kuti havatadzi uye havakanganisi.
Tinorarama munyika yakaipa kwazvo. Tinofanira kushanda nesimba (murango waMwari pana Adamu naEva) kana tichida kuwana nekutevera Kuda kwaMwari kwakarurama.
Mugodhi wemadhaimani wekuKimberley muSouth Africa wakacherwa matani mamiriyoni makumi maviri nemaviri evhu nemambwe kuti vawane matani matatu emadhaimani. Tani rimwe nerimwe remadhaimani raive rakavanzwa mumatani manomwe evhu raive rakafukidza. Asi vaichera vakaona kuti basa iri raive rakakodzera kuitwa nekuti vaikoshesa madhaimani acho.
Saka tinochera mudzidziso dzehama Branham kuti tiwane chokwadi cheMagwaro. Hongu, tichawana zvakaipa zvinofanira kurasirwa kure semarara. Asi tine rombo rakanaka kudarika vashandi vemumugodhi wemadhaimani. Dzidziso dzake dzine chokwadi chakawanda kudarika mutoro wakasangana nevacheri vemadhaimani.
Sevacheri vemadhaimani, tinofanira kuchera mukati memharidzo dzehama Branham kuti tiburitse pachena dzidziso dzakanaka dzinoratidzirwa muBhaibheri. Tinoona chokwadi chakanakisa chinofamba chichinosunganidza mavhesi akawanda emuBhaibheri. Aya ndiwo madhaimani eruzivo nehuchenjeri akafanira dikita rese nekushanda nesimba kwese patinozoona kuti tinokwanisawo kuziva zviri kutaurwa neBhaibheri.
Rambai hama Branham semuprofita wenguva yekupedzisira kana muchida, asi muchawanepi mumwe munhu achagona kutipa dzidziso dziri nani pamusoro peMagwaro?
Jesu akataura kuti tinofanira kunamata Mwari muMweya memuZvokwadi.
Saka mumazuva edu tinofanira kuziva chokwadi.
Mimwe mienzaniso:
- Nei Jesu akanyora kaviri muvhu paakaedzwa nekuda kwemukadzi akabatwa muhupombwe? Chokwadi chakadzama chaaiedza kuvaratidza chaive chii? Asi William Branham, mukatora dzidziso dzake mukadzitsvaga muMagwaro, akakwanisa kutipa mufananidzo wakareruka wemuono mukuru waMwari.
- Semuenzaniso, Josefa, muponesi weEgipita wenguva yaizouya nekuti Mweya waKrsitu waive maari, aive mutorongo pamwe nemubiki wechingwa nemudiri wewaini, vasungwa vaviri. Mubiki wechingwa akafa mudiri wewaini, aidira mukombe waFarao, akararama. Jesu, Muponesi wenyika, akasungwa pamwe nembavha mbiri akaiswa pamwe nadzo pamuchinjikwa. Mumwechete wavo ndiye akagamuchira Jesu akawana Hupenyu husingagumi. Mumwe akamuramba. Chirairo chekurangarira kufa kwake chinoshandisa chingwa newaini. Chingwa (mubiki wechingwa) anogurwa, mucherechedzo werufu. Waini (mudiri wewaini) ine hupenyu mairi, kudhaka kuri mairi mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro zvinoitika kana Mwari akavhura meso edu kuti tione zvinorehwa neShoko rake.
- Nei Mateo naMarko vakataura pamusoro pemutumwa mumwechete pabwiro asi Ruka naJohane vakataura pamusoro pevaviri? Musashandise zvikonzero zvisina kufanira muchitaura kuti paive nevatumwa vaviri asi ivo vakataura mumwechete. Izvozvo ichokwadi asi hazvitsananguri chiro. Mubvunzo wekubvunza ndewekuti nei vakangotaura pamusoro pemutumwa mumwechete ipo paive nevaviri. Vaiedza kutiudza chirevo chakadzama chekuti kudii?
- Nei Jesu mumashure mekumuka kwake kubva kuvakafa, akaudza Maria kuti asabate tsoka dzake kuna Mateo asi akamutendera kubata tsoka dzake kuna Johane?
- Waive mucherechedzo wei Mosesi paakarova Ibwe ruviri?
- Makereke ese ari manomwe anotaurwa nezvawo nemazita awo chaiwo kunze kwePergamamu. Zvakazarurwa Chitsauko 2 inotaura pamusoro pePergamamu sePergamosi, zvichipa magumo ezita iri muchiGiriki. Nei iri riri rega zita pamazita emakereke manomwe rine magumo echiGiriki.
- Nei Jesu akangopa vazhinji chekudya kaviri chete? Nei kwakasara matengu manomwe nematengu gumi nemaviri emafufu? Aiziva vhudzi rimwe nerimwe raive mumisoro yavo saka aizoziva muromo mumwe nemumwe waizodya. Nei akasika chikafu nechinosara?
- Pachinzvimbo chekuudza Adamu naEva kuti vawande vazadze nyika, Mwari akavaudza kuti vaberekane vawande vazadze nyika. Nei akawedzera izwi rekuti “berekanai”? Aiedza kuvaudza kuti kudii? Dai vakasimba paShoko iroro vangadai vasina kutadza. Nei Mwari asina kuudza Adamu naEva kuti vatendeuke mumashure mekutadza kwavo? Jesu akaita makore matatu nehafu panyika achiudza vanhu kuti vatendeuke. Mazwi ake ekupedzisira anosanganisa kutaura kuti “Baba varegererei”. Asi Mwari haana kutaura ruregerero kana kutendeuka muEdeni. Nei asina?
- Mbeu yemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka yakakunda sei kupinda muareka yaNoa nekuti munhu wese akazozvarwa mumashure meMvura yaNoa vakazozvarwa kubva kuna Shem Hamu naJafeti? Kwete saKaini, paive pasina munhu asingazivikanwi aive asina baba vakanyorwa muBhuku raMakoronike. Rudzi rwaKaini rwese rwaive rwaparadzwa muMvura yaNoa. Nimrod, mupanduki akaipa, aive mwanakomana waKush aive Mwanakomana waHamu.
- Kaini naAbero vaive nanababa vaviri vakasiyana sezvo kuna Makoronike hakuna kutaurwa baba vaKaini. Asi Pauro anoti vanhu vose vanobva “kuropa rimwe”. Tsanangurai.
MABASA 17:24 Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko.
26 Wakaita neropa rimwe marudzi ose avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yukugara kwavo;
- Sara paaive ava nemakore zana, Abrahama akafunga kuti mambo vaizomuuraya kuitira kuti mambo varoore Sara. Mambo angava ashayei kusvika pakuda kurorora mukadzi ane makore anosvika makumi mapfumbamwe?
- Mateo akanyora dzinza kana mutsetse weropa raJesu muChitsauko 1 (nei Chitsauko 1?) mutsetse uyu waive nemazera aive mashoma negumi nematatu kubva padzinza rakataurwa kuna Ruka chitsauko 3 (nei Chitsauko 3?) Nei pakataurwa madzinza maviri? Nei mamwe mazita akafanana mamwe mazita acho ese akasiyana? Tinomayananisa sei, kunyanya pamusiyano wemazera gumi nematatu?
- Nei maBhuku maviri chete eEvangeri ari ndiwo anotaura pamusoro pemadzitateguru aJesu?
- Kuna Mateo, Josefa naMaria vakafamba kuenda kuBetrehema. Kuna Ruka, vaive vakutogara muBetrehema. Tsanangurai.
- Kana Maria aive mhandara nei dzinza raJosefa raive rakakosha? Josefa aive asiri zvakare baba vaJesu. Iyi ndeimwe mishoma yemibvunzo inobvunzwa nevapikisi uye vasingatendi vachikakavadzana nemaKristu. Munogona here kudavira motsanangura zviri pachena zvinhu izvi zvese?
Kugona kwehama Branham kugadzirira zvakavanzika zvakaita seizvi kunomuisa muboka rake ega. Hushumiri hwake nedzidziso dzake nekutiita kuti tifunge zvichibva paMagwaro, zvinofanira kutigonesawo kudavira mibvunzo iyi neimwe mibvunzo mizhinji ine vanhu yavanoshandisa sezvikonzero zvekuramba kwavo kutenda kuBhaibheri. Zvose Muono Mukuru wezano raMwari rakarurama nezvinhu zvinodakadza zvinofuratirwa nevamwe vachiti hazvina kukosha kana kuti, zvakaipisisia, vanoti zvakakanganiswa, zvinotanga kuburitswa pachena muchiedza chedzidziso dzake dzakanakisa.
Saka tinotonga sei William Branham kuti muprofita wenguva yekupedzisira?
Kwete nekuisa mutsetse wezvakaipa zvake. Handiyo nzira yaMwari yekutonga maprofita.
Mwari anoranga muprofita nekuda kwekudarika kwake asi haamubvisi pakuva muprofita.
Tinofanira kutarisa Magwaro matatu anotsanangura muprofita wenguva yekupedzisira toona kuti akazadzisa Magwaro iwayo here.
Kana akazae ari ndiye muprofita.
Tinogona kuronda nekuunganidza zvaakatadza nenzira imwe inoshandiswa neBhaibheri kutaura kukanganisa kwemamwe maprofita asi tobva tafuratira kukanganisa kwake nekutarisa Muono Mukuru weMagwaro matatu aakazadzisa.
Murofita wekupedzisira kuvaHedheni anofanira kuita zvinhu zvitatu.
Ndiko kumutonga kwatinofanira kuita. Akazadzisa zvikamu zvitatu zvakakosha izvi here?
Magwaro matatu aya anotanga tsunami yakadzama yemweya inotsvaira munzvimbo dzemweya dzeMuono Mukuru waMwari ichizvuzvurudza vatendi vachienda nayo.
Kukanganisa kupi nekupi kwakaitwa nehama Branham kungoita kwehunhu hwevanhu vasingakwanisi kuziva zvese vasingakwanisiwo kurangarira zvakazara zvese zvaaiziva.
Tinosiya Mwari vachimutonga pamusoro pezvaanenge akatadza. Zvaakatadza izvi hazvigoni kumutadzisa kuita basa rekutsanangura zvaakaratidzwa munzvimbo dzakadzama. Zvaakatadza hazvigoni kutidzosera kukereke yekutanga. Regai Mwari vashande naye nekumuranga kupfurikidza hupenyu hwake husinei nechekuita nebasa raakasanangurirwa naMwari. Tinofanira kudzidza kubva pane zvaakaburitsa pachena pamusoro peBhaibheri nekuti izvozvo chete ndizvo zvinogona kutidzosera pakutenda kwakaitwa nekereke yekutanga.
Munzaniso: kana ndarasika murenje ukandinonga nemotokari yako, handinganyunyuti pamusoro pechero chakaipa chandinoona mumotokari yako. Ndinotarisa kuti zvisinei nezvakaipa zvingadaro zviri mumotokari yako kana iwe, Mwari ari kukushandisa iwe nemotokari yako kuti undipe gwara nekundibvisa munjodzi yandanga ndiri.
Hatingabviri tagamuchira hushumiri hwehama Branham kunze kwekunge taona zvakajeka kuti takananga kunguva yeKutambudzika kukuru nekuti tinoda kwazvo zvinofungwa nevanhu netsika dzavo kudarika kuda kwatinoita Magwaro. Nhasi kune masangano anodarika 30 000 akasiyana siyana emakereke. Izvi zvese mucherechedzo wemafungiro mazhinji akarasika. Mapoka aya ese ari kungoenda asina gwara nekuti ese ari kuenda mativi akasiyana.
Rangarirai, takauya kuEvangri iri rinopokana nehunhu hwedu hwevanhu hwakazadzwa nechipegani.
Saka tinoda mumwe munhu kuti atiratidze nzira.
Saka tinoda chokwadi chakadzama chakaziviswa naWilliam Branham kuitira kuti chitiratidze nzira kupfurikidza kutidzosera kudzidziso dzeTestamente Itsva.
Kana tisina gwara iri tinongotenderera gore negore tisingakure kana kusvika chero kupi.
Hushumiri hukuru hwemuprofita wekupedzisira kuvaHedheni hwakadai:
- Anofanira kupedzisa chakavanzika (muhumwechete) chaMwari. Anofanira kutsanangura kuzara kwovuMwari nekuzivisa Kristu achifamba mukati memapeji eShoko rake rakanyorwa.
Hakuna mumwe akaita izvi zviri nani kudarika zvakaitwa nehama Branham .
Mutsara muduku wedzimwe dzidziso dzaakazivisa:
Chivi chekutanga chaive chii? (ndapota musati kwaive ‘kusaterera’).
Mbeu yemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka imbori chii?
Nei Mwari vaida ropa remhuka kuti riripire zvivi zvaAdamu naEva?
Nguva yeKutambudzika kukuru haisi makore manomwe asi makore matatu nehafu.
Nguva nomwe dzemakereke.
Zvisimbiso zvinomwe.
Sungano yakakwanira yewanano inogara, kusvika mumwe wevaviri afa. Hakuna kurambana nekuroorazve.
Christ rubapatidzo muZita raJesu Kristu.
Mutumwa wechinomwe anofanira kupedzisa chakavanzika chaMwari.
Kuzara kwehuMwari kunotsanangurwa pasina mazwi asimo muBhaibheri akafanana neTiriniti.
Varindi vana vakapoteredza chigaro chaMwari.
Mavhiki makumi manomwe aDanieri.
Chikara cheRoma nechikara cheAmerica kuna Zvakazarurwa Chitsauko 13.
Israeri nekereke kuna Zvakazarurwa Chitsauko 12.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
2. Anofanira kuvandudza zvinhu zvose. Izvi zvakakosha. Haafaniri kutivigira zaruriro itsva inobva pamazano evanhu akachenjera. Anofanira kuramba achinongedzera kuTestamente Itsva yakava kutanga kwekereke yekutanga. Tinofanira kutenda uye kuita sezviri munzira yavakateya.
MATEO 17:11 Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
William Branham akaramba achitidzosera kuBhaibheri senheyo dzekutenda kwedu.
Bhaibheri ndiro mukuru wedu.
63-1201M MUKURU SHREVEPORT.LA V-17 N-10 SVONDO
:85 ... Shoko raMwari ndiro mukuru iyeye.
63-1226 _ HURONGWA HWEKEREKE JEFFERSONVILLE.IN COD CHINA
:6 Mukuru wangu ndiro Shoko, Bhaibheri.
Zvese zvatinotenda zvinofanira kutsigirwa nekuyananisa mavhesi eMagwaro.
Hakufaniri kuwanikwa mazano matsva, nekuti rumutsiridzo zvinoreva kuti kudzoserwa kune zvekutanga.
64-0823M MIBVUNZO NEMHINDURO.1_ JEFFERSONVILLE.IN COD SVONDO_
« 155 Asi vaya vanokwanisa kutambira Shoko mukuzara kwaro, kwete nekuti ndini ndariparidza, asi nekuti Bhaibheri rinotaura kudaro. Vaya vanogamuchira zvemahara, nekuti vano – Shoko rakatotongwa kare.
Nguva yekereke yeRaodikia kuziviswa kwenguva nomwe dzemakereke
Makamboona here kuti vanhu vanorasisa vamwe vanovaita kuti vagare pedyo navo kwazvo nekuda kwekutya? Vanoti kana vanhu vakasaita zvavanotaura, kana kuti vakabva, kuparadzwa kwavo kunobva kwatevera. Maprofita enhema, nekuti muprofita wechokwadi anogarotungamirira mumwe nemumwe kuShoko vosungirira vanhu pana Jesu Kristu uye havangaudze vanhu kuti vamutye kana kutya zvaanotaura, asi kutya zvinotaurwa neShoko.
Nguva yeKereke yeEfeso Kuziviswa kweNguva Nomwe dzemakereke
Rimwe remazuva aya kuchauya muprofita kuNguva yekereke yeRaodikia muchaziva kana ari wechokwadi akatumwa naMwari kana kuti kwete. Hongu muchaziva, nekuti kana ari waMwari ACHAVA MUSHOKO IRORO SEKUPIHWA KWARAKAITWA KUNA PAURO NAMWARI. HAANGABVI PASHOKO IRORO KANA KWECHINGUVANA ZVACHO, KWETE KANA KAMWECHETE. Munguva iyoyo yekupedzisira, pakuchave nemaprofita mazhinji enhema achionekwa, tarirai muone kuti vacharamba vachikuudzai kuti kana musingatendi zvavanotaura, mucharasika; asi MUPROFITA IYEYE WEZUVA REKUPEDZISIRA paanosvika kana ari muprofita wechokwadi, achange achichema kuti “dzokerai kuShoko kana kuti munorasika”. Haangavaki pazaruriro yake ega kana kuturikira kwake ega, asi paShoko.
3. Achadzorera moyo yavana kumadzibaba.
MARAKI 4:5 "Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehova, rinotyisa, risati rasvika.
MALACHI 4:6 Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana (Johane Mubapatidzi akaita izvi), nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.
RUKA 1:17 Uchafamba pamberi pake (Johane Mubapatidzi) noMweya nesimba raEria, kuti adzorere moyo yamadzibaba kuvana navasingateereri kuvuchenjeri bwakarurama agadzirire Ishe, vanhu vakamugadzirirwa kwazvo,
Mapostora mashanu pamwechete naMarko. Ruka naJudasi vakanyora Testamente Itsva. Ava ndivo madzibaba edu pamweya nekuti zvese zvatinodzidza pamusoro paMwari zvinobva paTestamente Itsva yavakanyora.
Tinofanira kutenda chete zvavakatenda ivo.
Hatigoni kuvadarika, sezvo tichifanira kudzoserwa kwavari.
Havana kubvira vaziva kuti Kutinhira kunomwe chii.
63-0324E CHISIMBOSO CHECHINOMWE _ JEFFERSONVILLE.IN SVONDO
« 335 ... Zvichava rini hama Branham?” handigoni kukuudzai izvozvo. Handizivi ... chimwe chechakavanzika cheChisimbiso ichocho, chikonzero nei chisina kuziviswa, chaive Kutinhira kunomwe kunoreva manzwi ako, ipapo zvakanakisa, nekuti hapana chinoziva pamusoro pako; hakuna kana kunyorwa nezvako ...
Havana kubvira vaziva Zita idzva raKristu.
ZVAKAZARURWA 19:12 Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.
Hakuna munhu anoziva Zita idzva raJesu.
« 318-1 NGUVA YEKEREKE YEFIRADEFIA – BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 8
“Ndichanyora Zita rangu IDZVA pamusoro pake”.
Zita Rangu Idzva. ZVOSE pazvichava zvitsva, achazvitorera Zita Idzva neZita iroro richavawo Zita remwenga wake zvakare. Izita rekuti kudii, hakuna angaedze kufungidzira. Ichava zaruriro yeMweya ichapihwa yakazadziswa zvekuti hakuna angaedze kuiramba. Asi hapana anoramba achasiira zaruriro iyoyo kuzuva raachada kupa Zita iroro. Chingozvizivai kuti zvichava zvakanakisa kudarika zvatinofungira.
Havana kubvira vaziva kuti Kuuya kwaKristu kwechipiri kuchava rini.
William Branham muna 1965, gore rekupedzisira kwehupenyu hwake, aive achiri akamirira Kuuya kwaShe. Saka zviri pachena kuti Mwari hana kuuya muna 1963.
65-0725E CHII CHINOKWEZVA PAMUSORO PEGOMO _ JEFFERSONVILLE.IN V-8 N-8 SVONDO
« 4 ... Tinotumira kwaziso pamusoro pegomo, Prescott, Arizona, kuhama Leo Mercier neboka rake riri pamusoro ipapo vakamirira Kuuya kwaShe. Tinotumira kwaziso kune vari Tucson, vakaungana nhasi, vakamirira Kuuya kwaShe. Pasi muHouston, Texas, kune avo vakamirira Kuuya kwaShe. Kumusoro kuChicago, kune avo vakamirira Kuuya kwaShe. Kumusoro kuEast Coast, New York nekuConnecticut, neboka guru riri ikoko, rakamirira Kuuya kwaShe. Hatina nzvimbo pano yekuti vagare, saka tinongovatumira Shoko ikoko – shoko parunhare. Tatumira kwaziso kuhama Junior Jackson manheru ano, neboka rake riri kuClarksville. Hama Ruddell, vari kumusoro pamakumi matanhatu nemaviri, neboka rake, vakamirira Kuuya kwaShe. Takaungana pano nhasi pakereke yepamba, tabernakeri, takamirira Kuuya kwaShe.
Vaive vasingatendi kuti Jesu aizodzoka ari gore rakaramba riri makiromita makumi mana nematatu mudenga.
MABASA 1:9 Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitarira; gore rikamubvisa, vakasazomuvona,
MABASA 1:11 Ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga.
Kereke yekutanga yaitenda Kuti Jesu aizodzoka seMunhu ari mugore. Aisadzoka ari gore, kunyanya kana gore iroro rikaramba riri mamaira makumi maviri nemanomwe mudenga.
William Branham aive asiri pedyo neFlagstaff kana Gomo reSunset musi wakaonekwa Gore guru rikatorwa mifananidzo musi wa 28 Kukadzi 1963. Nguva yekuvhima yakazarurwa musi wa 1 Kurume 1963. Akaparidza paHouston musi wa 4 Kurume 1963. Saka akazotanga kuvhima nguva inoda kumwana vhiki mumashure mekutorwa mifananidzo kwegore. Haana kubvira aona Gore riri mudenga. Vatumwa vanomwe pavakauya kwaari vakabva kwaari vakaenda,havana kuita Gore nekuti hapana gore rakatorwa mifananidzo zuva iroro.
Vadzidzi havana kubvira vabvunza Jesu kuti aizouya rini. Asi vakangobvunza zviratidzo zveKuuya kwake.
MATEO 24:3 Wakati agara pagomo reMiorivhi vadzidzi vake vakavuya kwaari vari voga vakati, tivudzei kuti izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?
Hazvimo muMagwaro kubvunza Ishe kuti vanouya rini.
Saka zvakaipa kuedza kufungidzira Kuuya kwake.
Gore guru rakatorwa mifananidzo muna 1963 naDhokotera James MacDonald rakafamba richidarika nemudenga pachinhambwe chemamaira makumi maviri nemanomwe. Gore iri harina kugona kutsanangurwa nekuti gore rechipiri duku, rakafambawo mamaira anoda kukwana makumi maviri mudenga mumashure maro. Gore rechipiri rakakonzerwa nechiutsi netsvina yemafuta zvakabva paroketi rakaputika. Gore iri rakapararira kwati perei chinguva. Chii chakakonzeresa Gore guru racho? Kwaive kusina tsananguro dzesainzi. Saka raive gore rinoshamisa rakaitwa nevatumwa. WilliamBranham aive asipo panzvimbo iyoyo zuva iroro, 28 Kukadzi 1963. Akaparidza paHouston musi wa4 Kurume 1963 mumashure maizvozvo ndipo paakazoenda kunovhima paFlagstaff sezvo nguva yekuvhima yakavhurwa musi wa 1 Kurume. Saka William Branham haana kubvira aona gore iri. Harina kubvira ratorwa mifananidzo riri pasi pemamaira makumi maviri nemanomwe mudenga, richifamba kubva kumadokero.
Akatsanangura Gore guru sechiratidzo cheMwanakomana wemunhu mudenga. Raifanira kuva rakaitwa nemweya unoshamisa nekuti gore rakaitwa nezvenyika ino raive netsananguro yekutanga kwaro.
65-0718M KUEDZA KUBATIRA MWARI KUSIRI KUDA KWAMWARI_ JEFFERSONVILLE.IN V-4 N-8 SVONDO
« 167 † Zvino muchiratidzo chikuru ichi, kuti nyika ive isina, vachiri kuzvibvunza kuti chii chakaitika. KuTucson, vanhu vaiona vakatora mifananidzo yaro; vachiri kuzvibvunza kuti chii chakaitika. Chaimbova chii? Vachiri kuzviisa mumapepa, “Kune anoziva here pamusoro pechii, kuti zvingadai zvakaitika sei?” kwaive kusina mhute kumusoro kudenga, kwaive kusina mhepo, kwaive kusina hunyoro; mamaira makumi matatu kumusoro kudenga. Oh, mai!
"Kuchave nezviratidzo kumusoro kudenga. Zvinhu izvi pazvichaitika, kudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana siyana, kuchaonekwa chiratidzo kudenga, cheMwanakomana weMunhu.”
63-0707M KUPOMERWA _ JEFFERSONVILLE.IN V-3 N-19 SVONDO
« 164 † Pavabatiri vangu nevaranda vangu ndinodurura Mweya wangu; Uye ndicharatidza zvishamiso zvikuru kumusoro kudenga, napanyika; moto neshongwe dzovutsi nemhute.
Shongwe dzoutsi dzaimiririra gore duku rakaitwa nechiutsi netsvina yemafuta eroketi raive raputika. Chiutsi chaive mamaira makumi maviri nemanomwe kumusoro kudenga. Ese gore rakaitwa nechiutsi netsvina yemafuta aive atsva neGore guru rinoshamisa rakaitwa nevatumwa vanomwe aifamba pamwechete kubva kuMadokero, chero zvazvo aive akasiyana nemamaira makumi maviri, kusvikira gore duku rapararira.
JOERE 2:30 Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, zvinoti: Ropa nomoto neshongwe dzoutsi.
65-0801E EVENTS.MADE.CLEAR.BY.PROPHECY_ JEFFERSONVILLE.IN V-12 N-3 SUNDAY_ ZVIITIKO ZVAKABURITSWA PACHENA KUPFURIKIDZA CHIPROFITA JEFFERSONVILLE.IN V-12 N- 3 SVONDO
« 129 ... Zvakare mubhuku raMarko naMateo, maakataura kuti zviratidzo nezvishamiso izvi zvichaonekwa kudenga, vanhu vanozvidaidza kuti ndiro, ndiro dzinobhururuka, dzinokwanisa kunyangarika nesimba nekukasika kwekufunga ruzivo runopindira. Anogona kunyora, anogona kutaura, anogona kuita zvese zvaanoda. Shongwe huru yeMoto, “anogara akadaro zuro, nhasi, nokusingaperi”
Zviratidzo zvikaonekwa panyika, mapiramidhi echiutsi achisimuka mumhepo, kumusoro kwazvo kusina hunyoro kana chinhu, mamaira makumi matatu mudenga. Zvakataurwa gore nehafu zvisati zvaitika, kuti zvichange zvakadaro. Zvino pindurai mufananidzo muone kuti ndiyani akatarisa pasi.
Saka hatifaniri kunyengerwa kuti tizive zvinhu zvisina kuzivikanwa nemadzibaba akanyora Testamente Itsva.
Hatifaniri kuvaka patsananguro dzedu dzinogona kuturikira zvakabatwa paitaura vanhu.
William Branham akatiudza kuti tidzokere kuShoko rakanyorwa semukuru wedu.
62-0627 _TICHAONA JESU SANTA.MARIA.CA CHITATU
« E-13 ... Garai muchitsvaga zvandinotaura nguva dzose. Kana zvisingaenderane neMagwaro, musatenda mazviri. ...
63-1110E UYO ARI MAMURI_ JEFFERSONVILLE.IN V-6 N-12 SVONDO_
227 ... Tendai Mharidzo yese. Tendai izvozvo. Kana zvisiri, kana zvisina kunyorwa muBhaibheri, musatenda mazviri.
62-0318 IZWI RAKATAURWA NDIYO MBEU YEKUTANGA.2 _ JEFFERSONVILLE.IN V – 3 N- 2 SVONDO
« 310 ... Zvino, ndataura zvinhu izvi zvose, kana zvisingatambirani neBhaibheri, kana kutaura zvakafanana neShoko, zvakaipa, zvakaipa.
62-0211 HUMWECHETE_ JEFFERSONVILLE.IN V-10 N-2 SVONDO
134 Vachiti, “Pasita wedu akati zvakanaka kuita izvi.” Handina basa nezvakataurwa napasita wenyu. Kana zvisingaenderane neShoko raMwari, shoko rake inhema, chengetai Shoko raMwari.
Zvisimbiso zvinomwe hazvina kuvhurwa mumazuva ekereke yekutanga. Johane akazviona apo vatsvene vaive vakomberedza chigaro chaMwari chehushe kuDenga, mumashure mekupera kwenguva dzemakereke.
Saka hama Branham vakazivisa Zvisimbiso kwatiri, asi havana kuzvivhura. Kristu ega ndiye anogona kuita izvozvo.
Asi Mwari anofanira kuzvizivisa asati azvizarura.
AMOSI 3:7 Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.
Maprofita maviri kumaJuda anozarura chisimboso chechitanhatu munguva yeKutambudzika kukuru.
63-0323 SATURDAY_ CHISIMBISO CHECHITANHATU_ JEFFERSONVILLE.IN MUGOVERA
« 295 ... NdiMosesi naEria, nekuti hushumiri hwavo hunodzoka zvakare: vose varume vari vaviri. Oh, mai. Mazviona here manje? Maona kuti Chisimbiso chechitanhatu chii? Maprofita maviri.
Zvino tarirai. Ngazvisakudzipai, asi tarirai kuti chii chinozarura Chisimbiso: maprofita. Mazviona? Amen. Ndizvozvo. Oh, tiri kurarama muzuva regondo, hama, musoro kudenga pakati pemakore. Vakazarura Chisimbiso cheChitanhatu. Vane simba rekuita izvozvo. Amen. Ndicho Chisimbiso chenyu cheChitanhatu chichiuya chakazarurwa. Mazviona?
Saka maprofita maviri achazarura Chisimbiso cheChitanhatu munguva yeKutambudzika kukuru.
Tine zaruriro yacho izvozvi.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE_ JEFFERSONVILLE.IN MUVHURO
« 392†...
...Uye tinoziva kuti Chisimbiso cheChinomwe hachigoni kuzarurwa kuruzhinji kusvika nguva iyoyo yasvika.
63-1110M MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO JEFFERSONVILLE.IN V-2 N-22 _SVONDO
« 208 Rangarirai, akativanzira Chisimbiso cheChinomwe. Haangazviiti. Panomira vatumwa, zuva nezuva, vachitaura, asi havana kugona kutaura pana ichocho. Akati, “Kune runyararo kuDenga.” Hakuna aiziva. Kwaive Kuuya kwaShe.
Kumwe kutaura kumwechete kunoti, “vazhinji” kumwe kutaura kunoti “isu”. Saka tiri vazhinji.
63-0324E THE.SEVENTH.SEAL_ JEFFERSONVILLE.IN MONDAy_ CHISIMBISO CHECHINOMWE_ JEFFERSONVILLE.IN MUVHURO.
« 394 ... Akazarura Chisimbiso cheChinomwe. Asi munoona, ndicho chakavanzika chakavanzwa. Hakuna anochiziva. Asi chi -- chinofambirana nezvaakataura: hakuna achaziva Kuuya kwake; havazoziviwo pamusoro pechakavanzika cheKutinhira kwechinomwe. Saka munoona, zvakakochekerana.
64-0719M MUTAMBO WEHWAMANDA _ JEFFERSONVILLE.IN V 3 N-16 SVONDO
176 The Seventh Seal hasn't opened yet, you know. That's His Coming. Chisimbiso cheChinomwe hachisati chazarurwa, munozviziva. Ndiko Kuuya kwake.
Chisimbiso cheChinomwe hachina kubvira chazaruwa kana kuziviswa. Chinotaura pamusoro peKuuya kwaShe.
Kereke yekutanga yaitenda kuti Kristu ndiye aive musoro wekereke
VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
Hakuna munhu, hakuna muprofita, kana pasita anotenderwa kunzi ndiye musoro wekereke.
Nhasi pasita kana mufundisi anozviti musoro wekereke uye ndicho chikonzero chimwechete nei, munguva yeRaodikia, Musoro wechokwadi Jesu Kristu, akamira kunze kwemukova wekereke.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza;
Mumabhuku makumi maviri nemanomwe eTestamente Itsva, izwi rekuti “pasita” rakanzi mufudzi asi achireva zvakasiyana nekuti shepadhi kuchishona rakataurwa kamwechete muBhuku raVaEfeso. Chero ipapo, mapasita akataurwa pachinzvimbo chehushumiri hwechina kubva pahushumiri hushanu.
VAEFESO 4:11 Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;
Rumwe Rugwaro runotaura pamusoro pezvinzvimbo zvemukereke, zviri pachena kuti runopa mapostora chinzvimbo chekutanga sezvo vakanyora Testamente Itsva kuchibva kwauya muprofita uyo hushumiri hwake ndehwekudzorera vanhu kudzidziso dzemaprofita. Gwaro iri rinoisa mudzidzisi pachinzvimbo chetatu sezvo achifanira kutora dzidziso oitsigira nemavhesi eBhaibheri kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazaruwa.
Hapana kutaurwa pamusoro pemufudzi anoreva pasita. Saka kukosha kwapasita pamazuva edu atiri kurarama tichimutora semusoro wekereke hakuna nheyo dzeBhaibheri.
I VAKORINTE 12:28 Mwari wakaisa vamwe pakereke, pakutanga vaapostora, rwechipiri vaporofita, rwechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri navabati, namarudzi mazhinji endimi.
Saka vatendi venguva yekereke yekutanga havana kubvira vaita kereke inotongwa kana kutungamirirwa nemufundisi kana pasita. Kutaura izwi rekuti “pasita” kamwechete mutsamba kuvaEfeso vekereke yevaEfeso yekutanga hakupi mvumo kubva muBhaibheri kuti pasita atore simba rekutonga kereke munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia.
Kristu aive ndiye ega musoro wekereke pakutanga kwenguva dzemakereke.
Saka makereke emharidzo nhasi haaratidziki sekereke yekutanga, chikonzero chikuru nei Kristu akamira kunze kwemukova wekereke nhasi.
Tinotonga sei William Branham semuprofita?
Not by his mistakes. God will judge him on those issues. Kwete nezvaakakanganisa. Mwari ndiye achamutonga muzvinhu izvozvo.
Isu tinotonga neMagwaro aaifanira kuzadzisa.
Hama Branham vakatipa gwara riri nani here kuti tinzwisise Bhaibheri?
Akatikurudzira kudzokera kuBhaibheri totenda zvatinokwanisa kutsigira nezvakanyorwa muBhaibheri chete here?
Akatiudza kuti titore kereke yekutanga semuenzaniso wedu kuti titende mune zvavakatenda here?
Kana akaita izvozvo, akaita zvaifanira kuitwa nemuprofita wekupedzisira.
Kana tichiziva Chokwadi kubva muBhaibheri, tinokwanisa kufuratira chero kutaura kwaakaita (kana kwakaitwa nechero mumwe munhu) kana zvichizobuda kuti kutaura ikoko hakutsigirwi neMagwaro.
MaKristu haafaniri kutonga vanhu. Hatifaniri kutonga munhu.
Tinofanira kutonga zvaanotaura.
Zvaanotaura zvinobva muBhaibheri here kuti tigone kutenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemazuva emapostora here?
Kana tisingagoni kutsigira imwe pfungwa neBhaibheri tinofanira kusiyana nayo.
Asi, parutivi rwekuwedzera, kune mimwe miono yemuBhaibheri yakadzama yatakasiirwa nehama Branham. Izvozvo zvinomuita kuti ave ndiye akazadzisa chinzvimbo chemuprofita wenguva yekupedzisira kuvaHedheni.
Kana muchifunga kuti haafaniri kuva ari muprofita, ndiyani wamunosarudza kuzadzisa chinzvimbo ichi?
Munaye here akafanira? Nekuti Magwaro anofanira kuzadziswa.
Amen.