Vhakisini rehutachiwana HARISI Chiratidzo chechikara



Kana mukasatora chiratidzo chechikara munourayiwa. Hakuna munhu akaramba kubaiwa vhakisini akambouraiwa neumwe munhu

First published on the 21st of September 2021 — Last updated on the 21st of September 2021

Tsananguro dziri kugadzirwa nevanhu pamusoro pevhakisini ndedzekunyepa

Tsanaguro dziri kugadziriwa nevanhu pamusoro pevhakisini dzinoti vhakisini ndiro chiratidzo chechikara

MATEO 22:29 Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari.

Kana tisingazivi Magwaro ese anotaura pamusoro penyaya inenge iri mudariro tinosvika pakukanganisa kukuru.

Nhengo yeparamente yekuUK Richard Drax akadaidza Michael Yeadon “Nyanzvi” yezvesainzi akataura maonero ake “kuti hutachiwana hunodzoreka uye hwava pedyo nekupera.”

Micheal Yeadon, Britain payaive ichiri munguva yekuvharwa kwayo kwekutanga chirimo chadarika, akataura akati: “Hakuna kunyanya hutachiona kana chinotyisa pamusoro peCOVID -19 ... ichapera ... hungoriwo hutachiwana hunowanikwa, mahuri pasi rese rakasvika pakushaya kugadzikika.”

Akataurawo muchinyorwa chetwita kuti huhwandu hwendufu muUK “hwaisazofanira” kusvika 40,000.

Zvisinei, ndufu dzakazosvika 128,000 muna Chikumi 2021.

Saka hutachiwana hunotyisa kudarika zvaifungirwa nenyanzvi yezvesainzi iyi. Saka mafungiro evanhu avanotaura anova manyepo nekuda kwekutsanangura kwake kwedivi rimwechete kwakazoratidza kuti izivo isinasimba. Asi kuramba kuti vanhu vabaiwe zvinogonesa kuti munhu awane mbiri nekukasika munyika yedu yanhasi iri mumatambudziko. Saka, chenjerai zvese zvinotaurwa nevanodzivisa kuti vanhu vabaiwe nekuda kutsvaga mbiri. Vanofungira zvinhu zvavasina humbowo nazvo.

Chiratidzo chechikara chinokonzeresa madzudzo.

Mharidzo dzisinganzwisisiki uye dzinopikisana dzinokonzeresa kumukirana.

Tsananguro dzinoitwa nevanhu dzakasvika pachidanho chekurwarisa nekuda kwehutachiwana hwechirwere cheCOVID- 19.

Soshari medhiya ndiwo munda uri kurimwa nhau dzisina kunaka. Kunyanya kana hurumende dzasvika pakurambidza vanhu rusununguko. Saka, vanhu vanoda kutenda kuti kubaiwa vhakisini uku kwakashata uye vanotambira kuzvidzwa kwese kunoitwa vhakisini.

Munguva dzanhasi dzakaoma, vanhu vari pakufunga kuti iyi ndiyo njodzi yekupedzisira ichabereka chikara kana kuti “Antikristu” nechiratidzo chake.

Asi, (ngatitii) mumakore maviri chirwere ichi chinenge chapera vemharidzo nevetsananguro vaya vanenge vakutsvaga “chiratidzo chechikara’ chakasiyana kuti vaedze kukwanisa mune dzimwe njodzi dzichatevera dzichakwanisa kufukidza zvakaipa zvese zvakakonzereswa nechirwere cheCOVIDI-19. Tsananguro dzechiratidzo chechikara dzinosimuka nekukura mumakereke sezvinongoita hutachiwana hwakaipisisa. Dzakaipa kumweya yevanhu. Kana muchitenda mukukanganisa uku kwese kunenge maisa mweya yenyu panjodzi.

Parizvino, jekiseni revhakisini ndiro rinoderedza kupararira kwekutapurirana nekuderedza huwandu hwevanogara muzvipatara vachirwara. Zvinoderedzawo huwandu hwendufu dzacho.

Vanhu vasina kubaiwa vhakisini vakaburitsa rudzi rwakaipisisa rwechirwere ichi zvakakonzeresa wevhi itsva yechirwere. Saka veSainzi nevehutano vari kurwisana nemuvengi mukuru watisinganzwisisi. Zvinosuwisa kuti vemharidzo nevanobura tsananguro vanozvidza kubaiwa vhakisini asi kuriko tariro imwechete yatasara nayo isu rudzi rwevanhu yekumisa chirwere ichi. Vhakisini rekudzivirira hutachiwana uhu rinodaro risina kunyatsonaka kana kukwanira asi ndiwo chombo chikuru chatiri nacho parizvino chakagadzirwa kurwisa hutachiwana hwaisa pasi rese panjodzi.

Kunyanya kana makereke akashaiwa simba pamberi pechirwere ichi akasvika pakupfigwa. Vamwe vatungamiri vemakereke vakafuratira nekupikisa nhanho dzekuchengetedzeka vakafa. Sainzi dzezvemapiritsi dzakasimuka zvishoma nezvishoma apo vatungamiri vemakereke vakakanda mapfumo pasi vakanovanda kudzimba. Makereke akavharwa vezvehutano vakashinga vakarwisa hutachiwana vakatiwanira nheyo dzetariro.

Vemharidzo, nekuti vakatadza kumisa hutachiwana pachavo, vanorwisa vhakisini rekurwisa hutachiwana riri kuedza kurwisa muvengi wehutano hwedu nehupfumi hwedu.

Hakuna chiprofita chimwechete kana mufananidzo muBhaibheri wakabvira wataura chakanaka pamusoro pekereke yenguva yekupedzisira. Kurwisa kunotyisa kunoitwa nevavhangeri nevanhu vemakereke pamusoro pevhakisiniiri zvinoita kuti tione kuti nei Bhaibheri richitaura zvakaipa pamusoro pevanoenda kumakereke nguva yeKupedzisira ino. Vavhangeri havana kugona kumisa hutachiwana saka vakatanga kuzvidza chombo chimwechete chatiinacho kuti tirwise hutachiwana. Takapusa zvakadaro zvekusvika pakutenda mune zvavanotaura here?

Hakuna munhu akamboti jekiseni revhakisini rinopedza chirwere asi ndiro rinotobatsira kudzivirira kuipa kwakakonzereswa nehutachiwana vhakisini risati ravapo.

Tinofanira kuderedza kupararira kwehutachiwana kuti vanhu vagone kudzokera kumabasa hupfumi husati hwanyanya kukuvadzwa. Hatina sarudzo zhinji panyaya iyi nekuti kupfigwa kwenyika kwaimisa vanhu kuenda kumabasa kwakakuvadza hupfumi hwenyika.

Tinofanirawo kuderedza kupararira kwehurwere kwakanyanya sezvo zvipatara zvedu zviri kuzara zvakanyanya.

Asi, zviri pachena, vanhu vanofanira kufunganya pamusoro pezvipingaidzo zvenguva refu zvinogona kuzokonzerwa nemavhakisini.

Kune zvizhinji zvatisati tagona kunzwisisa pamusoro pehutachiwana uhu.

Zvisinei, ruzivo pamusoro pemavhakisini kubva munguva yakadarika runoratidza kuti kana paine zvipingaidzo zvakaipa zvinobva pavhakisini zvinoratidzika mukati memwedzi miviri kana mitatu kubva pakubaiwa vhakisini.

Munhu wese anofanira kuita sarudzo pachake pakati pehutano hunogona kukanganisika nezvipatara zvisisagoni kutakura zvakakwana ruzhinji rwevanhu ruri kurwarisa, uye matambudziko aunogona kuzosangana nawo munguva inouya pachako anokonzereswa nevhakisini.

Muna Chikunguru 2021 chirwere chehutachiwana uhu chainyanya kubata vanhu vari munzvimbo dzisina kubaiwa izvi zvakabva kuna Rochelle Walensky, Mutungamiri webazi rezvehutano reUS rinozivikanwa nekunzi Centres for Disease Control Prevention.

Saka, vanhu vasina kubaiwa ndivo vari kunyanya kurwara kana kuti vaive muzvipatara vachirwara.

Vasina kubaiwa vanokwanisa kuzvidza izvi vachinopinda mundufu dzavo. Ivo injodzi kwavari nekune vamwe vakawanda.

Kune vamwe vanokwanisa kubereka rudzi rutsva rwehutachiwana.

Vanomiririra boka rinozadza zvipatara nenzvimbo dzinobatsirwa varwere.

Asi kuramba kubaiwa vhakisini nekuti munofunga kuti vhakisini ndiro chiratidzo chechikara kukanganisa kwakazara makanyengerwa nevanhu vanoenda kumakereke vasingazivi Bhaibheri nevavhangeri vavo.

Kunyanya, nekuti vavhangeri vamazuva ano vanotaura izvi vane mhosva nekuti vakaresva zvinhu munyika nekutaura kwavo uku pamusoro peMagwaro echiprofita.

Vabvunzei kuti vatsanangure kuti ndiyani “kanyanga kaduku” uye kuti kakabuda sei kubva munyanga ina dzevaGiriki asi kachikurawo pakati penyanga gumi pamusoro mumwechete wechikara cheRoma. Ipapo nyanga nhatu panyanga dzeRoma idzi inobva yaparadzwa. Nyanga duku iyi inobva yashandura nguva nemirairo. Chimwe chikara cheRoma kuna Zvakazarurwa 13 chine misoro minomwe nenyanga gumi asi hapana kana imwe yenyanga idzi yakaparadzwa. Nyanga gumi dzine korona gumi asi chikara ichi hachina ruvara rwakataurwa. Kuna Zvakazarurwa 17 chikara chine misoro minomwe chine ruvara rushava chisina korona. MuChitsauko 13 chaive nezita rekumhura Mwari. MuChitsako 17 chine zita rekumhura Mwari. Nei misiyano iyi yese?

Kana vavhangeri nevese vanoita tsananguro dzavo vasingagoni kutsanangura micherechedzo iyi musaterere tsananguro dzavo pamusoro pechiratidzo chechikara sezvo vasingazivi zvavanenge vachitaura nezvazvo.

Fungidziro dzisina magumo nekutya kuri kudzosera vanhu kumashure nekuvasairira mberi muchimiro chendangariro dzakakanganisika.

Nekuti vhakisini rekudzivirira chirwere rakagadzirwa nekukasika, vanhu vanofunga kuti pane chinhu chisina kumira zvakanaka. Asi, vesainzi vaishanda nemavhakisini erudzi rwechirwere ichi kwemakore anenge 15 kusvika 20 akadarika. Chirwere ichi chakabereka kuyanana kusati kwambovapo pasi rese apo vanhu vesainzi vakachenjera vese vakatanga kugovana mazano. Vakagona kufamba nekukasika nekuti vanhu vakawanda vakabatana pamwechete zvimwe zvinhu vakasendeka parutivi. Tichiwedzera, kwakaiswa mari zhinji mubasa rekugadzira mavhakisini. Mari yekugadzirisa dambudziko ikavapo basa rinokasika kuitwa.

Vanogadzira tsananguro dzavo vanoti vhakisini rinobereka kufa kwemajini sezvo DNA iri mumasero emiviri yedu inoshandurwa. Izvi hazvisizvo.

Semuenzaniso, vhakisini rePfizer rinotumira musero kachidimbu kaduku keRNA, seshoko, rinoudza sero kuti ribereke purotini rinodzivirira hutachiwana. Mapurotini aya anobatsira miviri yedu kuti izive nekurwisa hutachiwana asi mapurotini aya haana zvakaipa zvaanokonzera nekuti haagadziri hutachiwana hwese. Sero rinogamuchira shoko rine nyukiriya rakapoteredzwa nemvura. DNA riri munyukiriya saka mutumwa, angori chidimbu cheRNA, inogara mumvura yekunze asingagoni kupinda munyukiriya. Saka, mutumwa uyu haana kubvira asvika muDNA saka haagoni kurishandura.

Mumaawa mashomanana, mutumwa anoparadzwa kuva zvidimbu zviduku zviduku. Ndiwo mashandiro anoita masero nezvipingaidzo zvinenge zvapindira mumuviri. Sero rinogadzira purotini rehutachiwana rinozorwiswa roparadzwa nemasoja emuviri anogadzirwa nemuviri yedu. Saka kunenge kusisina mutumwa kana mapurotini akaiswa hutachiwana anenge asara. Saka, muviri wese haugoni kukuvadzwa. Chinenge changosara INDANGARIRO dzehuvepo hwepurotini rakaiswa hutachiwana neNDANGARIRO dzemasoja emuviri akamaparadza. Saka kana munhu akafema mweya une hutachiwana hweCovid – 19 muviri unobva waziva hutachiwana hurimo saka unenge wakuziva kuti wogadzira sei masoja emuviri anoirwisa. Saka, hutachiwana hunogona kuparadzwa munhu asati arwara.

Muchiitiko chinenge chashata, kana munhu akarwara, muviri unogadzira masoja emuviri nekukasika kudarika zvawaisimboita nekuti une ndangariro nenzira yakanaka yekuita izvozvo. Muviri haufaniri kufunga nzira yekuita masoja emuviri kubva pasina. Zvakadaro, muviri unogona kurwisa hutachiwana nekukasika zvekuti munhu anopihwa mishonga isina kunyanya kuwanda yehurwere hwekorona.

Pakati pevanhu vakapihwa vhakisini, pakaonekwa kudzikira kwehurwere hwakanyanya nekudzikira kwehuwandu hwendufu.

Zvisinei, sero rine purotini rakaiswa hutachiwana rinogona kutaurirana nemuviri roita zvakaipa.

Uku kuita kusingazivikanwe kwatinogona kuzoona nekufamba kwenguva. Zvinogona kuitika kana kutadza kuitika. Hatizivi kuti tingagare kwenguva yakareba sei takamirira kuipa kwakunokonzeresa. Asi parizvino, hutachiwana huchaita zvahunoda pavanhu nehupfumi hwenyika isu tigere hedu takamirira chinhu chinogona kana kutadza kuitika.

Takamirira kudaro, vanhu vacharwara zvakaipisisa nekufa. Ndicho chinhu chatinoziva chakaipa uye chichaitika.

Asi munhu mumwe nemumwe anofanira kuita sarudzo dzake pamusoro pevhakisini.

Chinhu chikuru chakanakira kubaiwa vhakisini ndechekuti unotakura ndangariro dzekuti hutachiwana hoparadzwa sei mumuvuri wako. Izvi zvinoita kuti uchengetedzeke. Unogona kutadza kubatira hutachiwana kana kuti unorwara zviri nani nekuti muviri wako unorangairira kuti worwisa sei. Saka, hamuzoiti kungemutakuri wechirwere uye mikana yekutapurira vamwe hutachiwana unenge wamushoma.

Chinhu chekutanga chazvakanakira ndechekuti hamuzovi njodzi kuhutano hwevamwe nekuti vanenge vakachengetedzeka muhuvepo hwenyu.

Chechipiri, sezvo muchizotora mushonga isina kunyanya simba kana mabatwa chirwere, hamuzodi kugara muchipatara. Saka, hamuwedzere basa kuvashandi vemuzvipatara muzvipatara zvakazara kare.

Asi dzimwe ndudzi dzerudzi rwechirwere ichi dziri kunyuka uye dzitoro matambudziko. Hakuna ane mhinduro dzese parizvino. Mamwe mavhakisini ekudzivirira chirwere ichi anogona kudiwa.

Kana musina kubaiwa vhakisini munokwanisa kuva muri honzeri dzedzimwe ndudzi dzechirwere ichi dziri kunyuka.

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

Kana makasununguka kuramba kubaiwa vhakisini saka hachisi chiratidzo chechikara nekuti vose vasingatereri nekupikisa mufananidzo wechikara vanovurawa.

Parizvino (Chikunguru 2021), kune mavhakisini anosvika 20 akatenderwa ari kushandiswa, nemamwe mavhakisini anosvika 200 ari kugadziwa nekuongororwa.

Saka vhakisini rinonzi chiratidzo chechikara nderipi?

Vanhu vasina kubaiwa vhakisini vane mukana mukuru wekutakura hutachiwana uye, nekudaro, vanogona kukonzeresa kuwanda kwendudzi dzehurwere.

Makasununguka kuramba kubaiwa vhakisini kana muchifunga kuti zvichaitika ramangwana risina anoziva zvakaipa uye zvinotyisa. Asi tichaziva chete chokwadi pamusoro peizvi zvese mumakore anotevera.

Asi hamufaniri kuramba kubaiwa vhakisini nekuti munofunga kuti ndiro chiratidzo chechikara.

Mune chitendero chakarasika kwazvo.

 

WO2020060606A1 harisi 666

 

Chiverengo cheMaikirosofuti patenti WO2020060606A1 ndicho 666 chaiyo here?

Chiverengo chepatenti 060606 hachisi 666. Ichi ndizviuru makumi matanhatu nemazana matanhatu netanhatu. Kwete mazana matanhatu nemakumi matanhatu netanhatu.

Chiverengo chepatenti i WO2020060606A1 chakasiyana kwazvo ne 666.

WO zvinoreva kuti World Organization. Pfupiso ye WIPO, World Intellectual Property Organization.

Mugore 2019 Maikirosofuti yakanyorera kuwana patenti yemudziyo (bhengoro remumawoko kana kuti mbozhanhare, nezvimwe zvakadaro) zvinonyora pasi zvinoitwa nemunhu vowana muripo. Hapana kutaurwa nezve maikirochipi, kwete maikirochipi inoiswa muganda remunhu. Patenti rinoreva mudziyo wakaita sembozhanhare, repitopu, chiringazuva chembozha kana bhengoro, nezvimwe zvakadaro.

Patenti iri kutaurwa i WO2020060606A1 inogona kuwanikwa mudhatabhesi reGoogle patenti Google patents database. Rakapasiswa muna 2019 rikashambadzwa muna Kurume gore rino.

Mudziyo wepatenti uripo kuongorora kuti munhu ari kuita basa kwete kuti harisi purogiramu yekompiyuta (inonzi bot).

Kambani inopa munhu basa, rakaita serekutaura pabasa rashambadzwa, votevera matauriro ake kuti vaone kana vari kuita saizvozvo kana kuti vanenge vaine boti (purogiramu resofutiweya rinoita kunge munhu).

Patenti rinotsanangura dhata iri richiti rinorondwa kupfurikidza mudziyo wakaita sembozhanhare kana kuti bhengoro.

Hapana kutaurwa chero nzvimbo papatenti iri pamusoro pemaikirochipi kana kuti tsamba yemanhamba (digital certificate).

Dijitari setifiketi (digital certificate) inotaura pamusoro pedhata rinochengetwa mumasaisai eintaneti rinokwanisa kutsvagwa nemidziyo yakaita semambozhanhare kana kuti mimwe midziyo yerudzi urwu. Dijitari setifiketi harina basa nemamaikirochipi akaiswa pavanhu.

 

Bill Gates haana mapatenti emamaikirochipi

 

Maikirosofuti HAINA kupiwa mapatenti emamaikirochipi ekuisa muvanhu.

Jonathan Jarry M.Sc. 28 Nyamavhuvhu 2020

COVID-19 Pseudoscience

“Ndakaona murume wechiFurenchi aive akashinga kwazvo paYoutube achinongedzera patenti reMaikirosofuti raionekera, akatiudza kuti, Bill Gates aitsvaga mukana wekuchengetedza nzira yekuti mavhakisini asanganiswe nemamaikirochipi anoita kuti isu tese tigone kurondwa nehurumende (WO 2020/060606 A1).

Idzi inhau dzenhema.

Asi apurikesheni repatenti reMaikirosofuti harina mazwi ekuti “vhakisini”, “maikirochipi” kana kuti “jekiseni”.

Igwaro rinotsanangura nzira yekuunganidza inonzi cryptocurrency iyo basa rinofanira kuitwa nekompiyuta rinenge rakuitwa nevanhu.

[Vanotumira basa, rakaita serekuongorora zvinoshambadzwa pamasaisai eintaneti nezvimwe kuti vawane mhinduro yako. Basa rese raunoita nemawoko rinoita kuti kompiyuta isaite izvozvo zvese nenzira dzenjere dzekuisirirwa dzinoshandisa magetsi akawanda. Pfungwa dzemunhu dzinoshandisa simba shoma kwazvo kudarika rinodiwa nekompiyuta. Iyi inzira yakanaka yekuderedza simba rinogadzirwa mumatura esimba remagetsi.

Saka, Maikirosofuti haina patenti remaikirochipi, kana vhakisini, kana jekiseni rechero rudzi.

 

Reginald Finley, Sr

Chakaitwa neMaikirosofuti kuronda pfungwa yekufamba kwemuviri wemunhu kana kushanda kwepfungwa dzake kuti zvibatsire kuunganidza dhata nekuongorora nhau dzavanomutumira. Chinangwa chavo chaive chekuita nzira yekuratidza kuti munhu ndiye anenge achiita zvinhu kwete boti (purogiramu yesofutiweya inoita kunge munhu) vanoda kuwana kuita kwemunhu ipapo.

Tekinoroji haina chekuita nekorona kana nemavhakisini. Zvakare, tekinoroji inoita izvi haisi nanotekinoroji yakaita semadonhwe ekwandamu (nekuti munofanira kuva nemudziyo unoisika pamuviri wakaita sebhengoro kana mbozhanhare) saka hazvipindirane nevhakisini. Tichiwedzera, tekinoroji haina kugadzirirwa kukanganisa zvakavanzika zvenyu zvichiitika musingazivi. Iyi inenge iri tekinoroji iyo vanhu vanounganidza dhata revanhu (vanhu vanoongorora dhijitari inifomesheni) vanoshandisa kuti vawane mari.

Chekupedzisira, harina chekuita nehutachiwana hwekorona. Rumwe rutivi rwenyaya nderwekuti chiverengo chepatenti 060606 ivhakisini rakaitwa naBill Gates hutachiwana hwe SARS-Cov- 2 husati hwauya kuti anyengera vanhu kuti vatore vhakisini rake. Raaive akaronga kushandisa muzvinangwa zvakaipa, zvakaita sekuderedza huwandu hwevanhu panyika, kuedza mishonga mitsva, nekutapa njere dzevanhu.

Idzi itsananguro dzisina anotsigira dzisinawo humbowo hunodzitsigira.

Patenti harina kubvira rataura nezvemavhakisini kana machipi ekuisa muvanhu.

Saka, Maikirosofuti haikwani pakunzi chikara.

Kune mavhakisini 20 akasiyana akatenderwa kusvika parizvino kutori nemamwe 200 ari munzira. Saka vhakisini rimwechete rinogona sei kuva chiratidzo chechikara? Ripi racho?

Rangarirai, Bill Gates haana patenti revhakisini kana maikirochipi.

 

Mufananidzo wechikara unokuuraya kana ukauramba

 

Kana mukasanamata mufananidzo wechikara munouraiwa

Ngatirarisei Magwaro:

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

Mufananidzo wechikara ndiwo uchauraya vose vasingadi kunamata mufananidzo wechikara.

Saka, hazvina kukwana kutsvaga chikara.

Kutori nenjodzi huru inonzi “mufananidzo wechikara”.

Ndiyai kana kuti chimbori chii? Munofanira kuzvitsvaga.

Ndiye munyengeri akaipisisa akapoya nepadukuduku nekuti hakuna anoziva kuti mufananidzo wechikara ndiyani.

Harisi vhakisini ramunogona kubvuma kana kuramba. Uku kunamata kereke yenhema nekuti kumakereke kwega ndiko kunonamatwa.

Kana makaramba kubaiwa vhakisini rinodzivirira COVID- 19, hamuna kuurayiwa.

Asi Magwaro anoti kana mukaramba kunamata mufananidzo wechikara munourayiwa.

Saka, vhakisini rekudzivirira hutachiwana harina chekuita nemufananidzo wechikara.

(Kana vhakisini rekudzivirira hutachiwana riri mufananidzo wechikara, chikara panyika chimbori chii?

ZVAKAZARURWA13:16 Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;

 

Munhu wese anowana chiratidzo ichi.

 

Asi haisi nzvimbo imwechete inowanikwa mushonga wevhakisini. Kune mishonga inosvika 20 yakabvumidzwa nebazi rezvehutano pasi rese (World Health Organization).

Hazvigoni kuti munhu wese awane vhakisini rakafanana. Muna Chikunguru 2021 vanhu vanodarika 3 bhiriyoni vaive vabaiwa vhakisini rimwechete pakati pemavhakisini 20 ariko.

Asi munhu wese anofanira kuwana chiratidzo ichi. Saka chiratidzo ichi hachisi vhakisini.

Vhakisini rekudzivirira hutachiwana rinobaiwa pabendekete riri pakati pehuma neruoko.

Saka, jekiseni harina chekuita nehuma kana ruoko.

 

Chiratidzo chechikara chinoyanana nekuuya “kwaantikristu.”

Izvi ndizvo zvinotaurwa nevanoenda kumasvondo.

Izvi zvakakwana zvakadaro kutyisa chero munhu. Asi Bhaibheri harina kubvira rati “Antikristu”.

Antikristu mweya. Kunana antikristu vakawanda uye vakagara vari mukereke kwemakore 2000.

I JOHANE 2:18 Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira.

I JOHANE 4:3 Mweya ... iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika.

Mweya waantikristu wakanga uri mukereke mukati memakore 2000 enhorondo yemakereke. Saka, antikristu haasi mutsva mumazuva edu.

Antikristu mweya une kurudziro yenguva refu kwazvo.

 

Vanhu vanofa. Asi mweya haufi.

Saka, mweya waantikristu unobva mumunhu kana afa wopinda mune mumwe munhu kuti umushandise.

Kristu iShoko.

Antikristu haadi kana kuti anopikisa Shoko uye anogarotsvaga kushandura Magwaro kuti areve zvimwe zvinhu.

Mweya yaantikristu mizhinji mumakereke inotungamirira vanhu kubuda muchokwadi cheBhaibheri kubva makore 2000 adarika.

Tine ndudzi dzinodarika zana dzemaBhaibheri eChirungu, maTestamente matsva anodarika 450, ndudzi dzinodarika 45,000 dzemakereke emasangano akasiyana siyana. Saka, kukanganisa kuzhinji kwakapinda mumakereke kunosanganisa hunyengeri mumasangano. Zvematongerwo enyika, maBhizimisi makuru nemadhimoni nerudo rukuru rwemari.

Makereke anoramba kuti chiratidzo chechikara chinosukurudza njere kana mafungiro evanhu mundangariro dzedu chotiita kuti titende muzvinhu zvisimo muMagwaro.

Chinhu chakaipa chaunotenda handicho chine nyaya, kunze kwekunge chisimo muMagwaro.

Nemakereke anodarika 45,000 emasangano akasiyana siyana, kune dutu remhepo inoparadza yekutadza kusimo muMagwaro kunokukura sehunyengeri hwakavanda huri mumakereke.

Tinotenda zviri nyore zvatinoda kutenda kunyanya kana njodzi inotyisa ikasvika panyika. Vanhu vanonyengerwa zviri nyore netsananguro dzinogadzirwa nevanhu dzinoita kuti tifunge kuti takachenjera kwazvo.

Musenturi rakadarika, chiratidzo chechikara chakaramba chichishanduka kuti chirambe chichienderana nehutungamiri hwepasi rese hunenge huripo.

Mumazuva ake, Hitira akarova nyika senyundo akaonekwa sechikara. Izvozvi akanganikwa. Kwakauya Kissinger, kukauya Saddam Hussein, kukauya Obama, ndokuuya Trump aive chikara. Izvozvi havasisipo panhandare. Vanoenda kumakereke havana ruzivo rwenhorondo yekereke vanoramba vachitarisa njodzi dzenguva iyoyo kuti vaone chikara mairi. Asi zvinhu zvinodarika votsvaga zvakare chikara chitsva kuti chienderane nenjodzi inotevera. Hutachiwana hwekorona hwaiparadza saka hwakawana simba rekugadzira nhau “dzechiratidzo chechikara”.

 

Tsananguro itsva dziri kuburwa nevanhu mumasai sai esoshari medhiya

 

vanhu vanoda kwazvo nhau. Kuchiri nevanhu vazhinji vasingatendi kuti vanhu vekuAmerica vakambosvika kumwedzi. Vanotenda kuti kuenda kumwedzi raive basa guru.

Zvisinei nekuti roketi reNASA Lunar Reconnaissance Orbiter rakatora mufanaidzo wemukwikwidzi akasvika kumwedzi Apollo 17 nemuzvezve wemavhiri ebhugi rekumwedzi (kana kuti muchovha weLunar reconnaissance) netsoka dzevanoenda kumwedzi dzakaita mutsetse mumwechete muguruva rekumwedzi. Munofanira kutarisisa zvakanakisisa mumizvezve yemavhiri.

 

Nzvimbo yakasvikira Apollo 12 yaive isina inonzi bhugi yekumwedzi (muzvezve une mativi maviri) vanoenda kumwedzi vakafamba kuenda kunzvimbo yakambosvikirwa nendege yekumwedzi yeSurveyor 3, sezvakaratidzwa mumufananidzo unotevera.

 

 

Mifananidzo iyi kubva kumwedzi inoratidza zvakakwana kuti vanhu veAmerica vakataura makore ana 1970, zvavaive vaita. Asi vanhu vakapusa, kusanganisa vanhu vemharidzo vakawanda, vaive vakadzidza zvepamusoro soro pehungwaru hwavo, vairamba vachiti America haina kubvira yakwanisa kuendesa chero munhu kumwedzi.

Vanhu vanofara kutiza kubva pachikonzero, pachinzvimbo chekushandura mafungiro avo.

Vanhu vazhinji vakasvika pakubvuma kuti tekinoroji yemabhozhanhare ye 5G antennae ndiyo yakakonzeresa hutachiwana hwekorona nekuda kwesimba remasaisai ayo. Nyaya yakavhenganiswa iyi yakaparidzwa nekukasika pamasaisai esoshari medhiya nzvimbo inonyanya kushandiswa nevenhau dzenhema. Asi Portugal haina tekinoroji ye5G antennae asi ine korona.

Muna Kubvumbi 2020 hutachiwana hwekorona pahwairova nyika kwazvo, hutachiwana hwakapupurwa munyika 181 asi nyika 34 chete panyika idzodzo ndidzo dzaive dzaane netiweki yemasaisai e5G.

Makadhi emari (Credit Cards). Soshari sekiyuriti nhamba yeAmerica. Mabhakodhi.

Zvese izvi zvakaita nguva dzazvo dzekunzi zviratidzo zvechikara, kunyanya munzvimbo dzeevhangeri. Asi kukosha kwenhau idzi kwakadarika nekuda kwedambudziko rakakonzereswa neCOVID – 19 yehutachiwana hwekorona. Nenguva, kana muchizvipira kumirira, dambudziko guru richauya richafukidza chirwere chekorona, veevhangeri nevetsananguro dzavo vanozouya nechiratidzo chechikara chitsva. Kuita uku kunoita sekunoramba kuchitenderera kwodzoka netekinoroji itsva inenge yauya kana iri huru zvekugona kubata meso eruzhinji sezvakaita vhakisini rehutachiwana hwekorona.

 

Ndudzi ina dzevhakisini nevagadziri 20 (Chikunguru 2021)

 

Dambudziko rine vhakisini rekudzivirira hutachiwana nderekuti kune, parizvino muna Chikunguru 2021, ndudzi ina dzakasiyana dzemavhakisini dzinoshanda nenzira ina dzakasiyana kupfurikidza kushandisa hutachiwana hwakafa, kana kuti hutachiwana hwakaneteswa, kana kuti kahutachiwana kaduku, kana kuti hutachiwana hwakagadziriswa kubva muchirwere chechando chagara chiriko.

Bazi rezvehutano pasi rese (WHO) rakabvumidza mavhakisini 20 ekuti munhu anoshandisa rimwechete renzira idzodzo. Kune makambani 200 akasiyana ari kuita tsvagurudzo nekugadzira mavhakisini matsva ekudzivirira hutachiwana.

Saka, hakuna rudzi rimwechete rwevhakisini uye harisi vhakisini rimwechete richabaiwa munhu wese.

Kana zvakadaro, kana maikirosofuti iri kugadzira vhakisini kana maikirochipi, ravasati vaane patenti raro, vachangowana mukana wekubaya chikamu chiduku kwazvo chevanhu vepasi rese sezvo mamwe mavhakisini ese akatotanga kare pamberi payo.

Muna Chikunguru 2021 vanhu 3 bhiriyoni pasi rese pavanhu 8 bhiriyoni varipo vanga vatobaiwa kare.

Izvi zvinomiririra budiriro huru kwazvo mune zvehutano zvisina chekuita nekutsvaga kuri kuitwa Patenti neMaikirosofuti.

Zvino vanhu vasinganzwisisi Bhaibheri vakatora dambudziko repasi rese vakashandura vhakisiri rekudzivirira hutachiwana rinobaiwa pabendekete kuriita chiratidzo chechikara chinofanira kuva chichiiswa paruwoko (chanza) kana pahuma.

Izvi hazvina maturo nekuti hazvizadzisi Magwaro.

Zvinoti nzwisisikei ivhakisini rekudzivirira huchachiwana munguva inoya richange riine chidimbu chetsono dzemaikiro dzinoshandisa makwandamu dotsi. Tsono dzinosvika 400 duku dzinounza zvidimbu zvepurotini pasi peganda panodaira mishonga zvakati simbei. Tsono duku idzi dzinonyunguduka mukanguva kaduku duku. Madhotsi ekwandamu anokwanisa kuita dhayi inogona kuonekwa pasi pechiedza zvinotaurwa nemakereke mazhinji kuti ndicho chichava “Chiratidzo chechikara”. Asi muna Chikunguru 2021 zvidimbu zvepurotini izvi zvaive zvichiri kuongororwa. Hazvisati zvapasiswa pasi rese.

Semuyeuchidzo, kune matambudziko maviri pakuedza kuyananisa mavhakisini aya neBhaibheri.

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

16 Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;

Hachisi chikara chinovuraya vanhu vose, mufananidzo wechikara ndiwo unoita kuti vawurayiwe.

Saka, munofanira kutanga mawana chikara motsvaga mufananidzo wechikara.

Mufananidzo uyu ndiwo unokonzeresa dambudziko. Mufananidzo unoti unoda kunamatwa.

Kunamata kunoreva kuti mufananidzo wechikara ibato rekereke.

Hazvigoni kuti Maikirosofuti ibaye vanhu vese vhakisini. Vakawanda vakatobaiwa vhakisini kare nemamwe makambani akagadzira vhakisini. Muna Chikunguru 2021 Maikirosofuti yaive isati yaane vhakisini isina maikirochipi yavakawanira patenti.

Mufananidzo wechikara unomanikidzira chiratidzo pavanhu VESE. Vanhu vese. Munhu wese anoramba anourayiwa.

Kana Bill Gates ari chikara zvinoreva kuti haana dambudziko raari kuita.

Dambudziko riri kuitwa nemufananidzo wechikara.

Mufananidzo waBill Gates ndiyani? Mufananidzo wake unokumanikidzai sei kuti mubaiwe vhakisini?

Mufananidzo wake unokuurayai sei kana musina kubaiwa vhakisini?

Rangarirai, munofanira kunamata mufananidzo wechikara Bill Gates haasi munhu wezvechitendero.

Aive asina kutovimbika kumukadzi wake zvakapa muenzaniso wakaipa.

Kune munhu anganamate mhombwe here? Hazviite sekudaro.

Asi haana mufananidzo une simba repasi rese rinogona kuisa mucherechedzo pamunhu wese.

 

Todzokera kutsono dzemaikiro (microneedle) dzine zvidimbu zvehunyanzvi zvine madhotsi ekwandamu (quantum dots).

Muna Chikunguru 2021 kuchiri nemibvunzo yakaomarara pamusoro pekuti zvidimbu zvetsono dzemaikiro idzi zvichashanda sei.

Saka, mafemu makuru haasati azvipira parizvino kutanga kugadzira zvidimbu zvetsono dzemaikiro idzi dzakawanda.

Tsvagurudzo dzekutanga dzinokurudzira asi hadzina kugadzikika. Mafemu emaindasitiri vachiri nemibvunzo kuti tsono dzemaikiro idzi dzinogona kugadzirwa muhuwandu hwakadii uye nemari yakaita sei.

Tsvagurudzo pamusoro petsono dzemaikiro dzaane makore 15 (muna 2021) asi hakuna femu yati yakurudzirwa kutanga kugadzira kana kuisa mari yayo ipapo, vanhu, uye michina yekugadzira nehuwandu hwakakura.

Saka, ichave nguva refu chinonzi “chidimbu- chechiratidzo -chechikara”chisati chaonekwa. Nenguva iyoyo chirwere chekorona chinogona kunge chatopera.

Zvakadaro, kukakavara pamusoro pejekiseni kwaive kwei?

Kana chidimbu chetsono dzemaikiro chine makwandamu dhotsi anosiya dhayi kana ruvara chiri ndicho chiratidzo chechikara, zvinoreva kuti jekiseni ririko nhasi rehutachiwana risina vanga rarinosiya, harigoni kuva chiratidzo chechikara.

Mamiriyoni evanhu vese vakabaiwa jekiseni rekudzivirira hutachiwama vanenge vachengetedzeka kubva kuchiratidzo chechikara nekuti hamuna dhayi kana ruvara runodaro ruchionekwa mujekiseni. Hakuna zvakare makwandamu dhotsi anoonekwa nemaikirosikopu anokwanisa kuonekwa sechiratidzo neimwe nzira.

Asi kune rimwe guhwa riri kutenderera.

Chii chinoitika nemaikirochipi riri kutaurwa nevanoenda kumakereke kuti Bill Gates neMaikirosofuti vari kuda kuisa mumidziyo inoshandiswa nevanhu? Izvi zviri kunzi zvakare chiratidzo chechikara.

Nhau idzi dziri kungobatsira kukanganisa nyaya dziripo.

Maikirosofuti haina patenti rekuti iite maikirochipi.

Totenda COVID-19 tingori nejekiseni rekudzivirira hutachiwana, nechidimhu chesimati pechi chichatozogadzirwa, nemaikirochipi ichagadzirwa kuitira midziyo, iri kunzi nevese vanoenda kumakereke ndiyo chiratidzo chechikara.

Saka, pakati pezvitatu izvi chimbori chii?

Kana hutachiwana hwekorona kukapera rimwe dambudziko rakakurisa rikarova nyika, chii chichaitika? Tsananguro dzese dzisimo mumagwaro idzi dzichasiiwa apo vasingazivi Bhaibheri vachanyengerwa “nepfungwa yakachenjera” inotevera inogadzirwa nevavhangeri nevetsananguro vanobika mazano.

Veevhangeri vanogona kwazvo kusvitsa vanhu pakuponeswa nekurarama hupenyu hwakachena uye hune pundutso. Asi kana vakangopinda mune zvakaprofitwa vakavata kwazvo mukushaiwa zivo yeBhaibheri kwavo. Vanokufadzai chete kana muri mukusuwa kwekusatoziva zvakaprofitwa muBhaibheri kudarika ivo.

HOSEA 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupirisiti wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.

Munofanira kudzidza kutevera Magwaro kuitira kuti muzvichengetedze. Kuti musanyengerwe kusvika maita chikamu chevasikana mapenzi. Kune vakaponeswa (vasikana vakachena) asi vakatarirwa kunofa mumakore matatu nehafu ekutambudzika nekuti havana kubvira vanzwisisa zvakavanzika zveMagwaro zvakaziviswa. Asi vakaita mabasa erudo nemabasa akanaka akawanda. Vakapa maBhaibheri asi havana kubvira vaita nguva yekutsanangurira vanhu vavanopa maBhaibheri zvakavanzika zveShoko. Bhaibheri ndiro chokwadi. Asi tinoda kunzwisisa chokwadi ichi.

DANIERI 12:10 Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.

Vasikana vakachenjera vane mafuta akakwana kuti vagone kutungidza nekuwana mwenje wakakwana kuti vagone kuverenga mavhesi eBhaibheri nekunzwisisa chokwadi chinotaurwa maari.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose:

Vanoenda kumakereke vachiri kuda kuramba vachitaura kuti chiratidzo chinhu chakanyorwa pahuma kana kuti tatuu pahuma. Kana kuti maikirochipi iri pasi peganda. Asi hakuna pakati peizvi chati chaonekwa.

Asi vanowedzera vanhu kurutivi rwevanhu vakakanganisika “vanhu vanotenda muchiratidzo chechikara cherudzi urwu”.

Totaura pamusoro pekutarisa pachivoni-voni asi tisinganyotsooni zvakanaka.

I VAKORINTE 13:12 Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo;

 

MaJuda vanopihwa zita rinonyorwa pahuma dzavo

 

MaJuda 144,000 vane zita rababa vavo rakanyorwa pahuma dzavo.

Asi tsananguro idzi dzose dzechiratidzo chechikara dzinoparadzwa kana tikatarisa maJuda mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika.

Zvakazarurwa 14:1 inoti zita rababa rinonyorwa muhuma dzavo.

Mwari haasi mubhizimisi rekuisa vanhu mamaikirochipi muhuma dzavo.

Satani aripo nguva dzese kuteedzera mazano aMwari nekuti Satani anotevedzera sezvo asiriye ane mazano ekutanga aanozvifungira.

ZVAKAZARURWA 14:1 Zvino ndakatarira, ndikavona Gwaiana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.

Zita raBaba rinoziviswa mundangariro dzavo. Ndangariro kana pfungwa dziri pahuma.

Chisimbiso chaMwari ndechekunyora zaruriro yechokwadi chake mundangariro dzedu.

Saka chisimbiso chaSatani ndechekukurudzira isu kuti titende zvitendero zvisimo muMagwaro mundangariro dzedu.

Makereke nhasi akakanganisika kwazvo pamusoro pezita raMwari.

Nderekuti JHVH? YHWH? Jehova? Yahwe?

Jehova naYahwe mazita akagadziriswa nekuti akawedzerwa mavara maari.

Nei kuti zita raBaba zvisina kubvira zvataurwa muTestamente Itsva?

Uyu mubvunzo usingagoni kudairwa nevanotenda muTiriniti.

Tinoda zaruriro mupfungwa dzedu (dziri pahuma kana pamanza dzedu) kana tichida kunzwisisa zita raBaba.

 

 

Adonai zvinoreva kuti Ishe.

Erohim zvinoreva kuti Mwari.

Aya haasi mazita, izvi zvinzvimbo.

“NDINI IYE” (“I AM”) harisi zita, kutaura kwekurarama kwake nekusingaperi.

Vaturikiri veBhaibheri renew translations vanoshandura kuti “muhuma dzavo” voisa “pahuma dzavo”.

Sekunge zvakanyorwa pahuma paganda pachinzvimbo chekuti zvakanzwisiswa mupfungwa.

Zvakazarurwa 14:1 NIV neNASB “Zita rake nezita raBaba Vake akanyorwa pahuma dzavo”.

(New International Version neNew American Standard Bible).

Vanoenda kumakereke vanoti zita rababa izaruriro mupfungwa dzavo nekuti havazivi kuti zita raBaba nderekutii.

Tarirai shanduko huru iyi. Pakarepo vanoita sekuti pane mazita maviri.

Kuedza kwavo kwekuzviitisa kuda kushandisa Tiriniti ipapo. Havangabudiriri, nekuti chero dai chaive chokwadi, panongoratidzirwa Vanhu vaviri, zvinotaurwa neveZvapupu zvaJehova.

Hapana muMagwaro pakambopihwa Mweya Mutsvene zita. Tiriniti ine dambudziko rekuti ine Vanhu vatatu, asi vanoti vaviri ndivo vane mazita.

Asi kupa Tiriniti mazita maviri zvakaipa kukanganisa.

Vabereki vaSamusoni vakabvunza Mwari, akanga azvisikira muviri wenguva duku wemutumwa, kuti zita Rake raive ani.

Vakabvunza zita rimwechete raMwari.

VATONGI 13:18 Mutumwa waJEHOVA akati kwaari, unondibvunzireiko zita rangu; zvarinoshamisa?

VATONGI 13:22 Zvino Manoa akati kumukadzi wake, Tichafa zvirokwazvo nokuti takaona Mwari.

Kuna Mwari umwechete chete. Kunofanirawo kuita zita rimwechete raMwari.

Shoko rakava nyama. Akadaidzwa Emanuere zvinoreva kuti Mwari anesu.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

HuMwari hwese hunogara muna Jesu. Ndicho chikonzero nei Jesu ari Mwari.

Zita rekuti Jesu harina kubvira rataurwa muTestamente Yekare.

Zita rekuti Jehova harina kubvira rataurwa muTestamente Itsva.

Saka, Jehova wekuTestamente yekare ndiye akazova Jesu wekuTestamente Itsva.

Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura kuti nei Jehova asina kubvira ataurwa nezvake muTestamente Itsva.

Saka, Jesu ndiro Zita raMwari rechokwadi.

Baba ndiko kuzara kwemweya unoshamisa waMwari unogara muna Jesu pamuviri. (Vakorose 2:9).

Mwanakomana ndiye Munhu maari munogara Baba.

Mwari akava Munhu zita rake ndiJesu.

Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura kuti nei Mwari wavo weTiriniti asina Zita rimwechete.

Vanotenda kuti Vanhu vatatu vanoti Jehova ndivo Baba Jesu ndiye Mwanakomana asi havana zita riri muBhaibheri rekudaidza Mweya Mutsvene. Mazita maviri ekudaidza Vanhu vatatu. Hazvina maturo.

Asi havatorina zita rimwechete rekudaidza vese vari vatatu.

Saka, havana zita rimwechete raMwari wavo weTiriniti. Izvi kukanganisa.

 

Chikara chine misoro minomwe mumwechete wakavurawa ukazomukazve

 

ngatitarisei chikara zvishoma muchaona kuti chikara hachina chekuita nevhakisini rekudzivirira hutachiwana.

ZVAKAZARURWA 13:1 Zvino ndakavona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chinenyanga dzine gumi nemisoro minomwe; napamusoro penyanga dzacho pakanga pane korona dzine gumi napamusoro pemisoro yacho mazita okumhura Mwari.

Misoro minomwe. Uyu haasi munhu.

 

 

ZVAKAZARURWA 13:3 Mumwe musoro wacho wakanga wakaita sowakakuvadzwa kusvika parufu; asi vanga, raifanira kuvuraya rakanga rapora: nyika yose ikashamiswa ikatevera chikara.

Musoro mumwechete wakavurawa neimwe nzira ukamuka. Zvakare, uyu haasi munhu. Ndihwo hushe hweRoma yemaPegani hwanakesari hwakaparadzwa nemarudzi evatorwa mugore 476 AD.

 

 

Asi mweya weRoma yechipegani wakamuka kubva kurufu kuuya kuzosvibisa kereke yeRoman Catholic. Pope akatora simba raive nemubati weRoma kana kuti raive naKesari.

Mweya wechipegani nanaPontiff wawo, maRenti, 25 Zvita riri zuva rekupemberera kuzvarwa kwamwari wezuva rikabva raitwa zuva rekuzvarwa kweMwanakomana waMwari, Tiriniti yeBabironi, Ishita Rabhiti, nemaIshita egi, kunamata mwarikadzi weNorse Freya, mwarikadzi wekubereka, chiratidzo chake ihove sezvo hove iriyo duku pakurarama kudarika dzimwe mhuka dzese. Chishanu (Friday) rakatumidzwa kubva pana Freya, saka vaidya hove musi wechishanu. Tsika iyi ichiri kuenderera mberi sezvo yakabva kuRoman Catholic kuenda kumasangano nekumasowe. Kurovererwa kwaJesu kwakaiswa pamusi weChishanu kuti vasimbise kunamatwa kwemukadzi Freya, zvakaenderera mberi nanhasi pavanonamata Maria. Jesu akaita husiku hutatu ari mubwiro akamuka musi weSvondo. Saka aifanira akafa musi weChina.

Asi vemakereke emasangano vanopikisa chiCaholic, mufananidzo wechikara, vakamedzawo mazano eCatholic akawanda akabva muHushe hweRoma yemapegani.

Tinokurudzirwa nevaparidzi vemasangano akabuda muchiCatholic kuti tigamuchire zvitendero zvisimo muMagwaro.

Ndicho chinhu chinotyisa chatakatarisana nacho nhasi.

Mazano eCatholic asimo muMagwaro anoshandiswa nevaparidzi kunyengera vanovatevera nawo.

Mapostora akaisa boka revakuru pakutungamirira kereke yepanzvimbo. MaCatholic anoisa muprista pakutungamirira kereke panzvimbo ari munhu mumwechete anotungamirira.

Ikurudziro ipi inotevererwa nemasangano nhasi uno?

Vanoisa pasita mufundisi ari munhu mumwechete anotungamirira kereke. Kurudziro yeCatholic yakakurira.

NemaCatholic 1.4 biriyoni pasi rese nezvivakwa zvikuru zveVatican nemari dzavo nemitambo yavo, pasi rese rinoyevedzwa nekereke yeRoman Catholic.

Vatungamiriri venyika dzepasi rese vakanyanya kuungana pamwechete parufu rwaPope John Paul 2 akabata basa guru pakuwira pasi kwekomiyunizimu muEurope yekumabvazura.

Izvi zvese hazvina chekuita nevhakisini rekudzivirira hutachiwana hweCovid.

 

Kutsiviwa kwemaPope mukati menhorondo yemakereke

 

ZVAKAZARURWA 17:8 ... vachashamiswa kana vachiona chikara kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.

“Chikara chaivapo”. MaCatholic anoti Petro aive Pope wavo wekutanga. Pope ndiye mutungamiri kana musoro wekereke yeRoman Catholic.

“Hachichipo”. Pope anofa.

“Chichazovapo”. Pope mutsva anozarudzwa.

 

 

Uku ndiko kutsiviwa kwemaPope mutsetse mukurusa wevatongi pasi rese. Kana Petro aive ndiye Pope wekutanga kureva kuti vanodzokera kumazuva emapostora.

(Petro haana chaanopomerwa nekuti haana kubvira azviita Pope)

Vanaantikristu vazhinji vakanga vatovapo ipapo.

Vatungamiri vemakereke vakaita saDiotrefe vaishandura dzidziso dzemapostora vachishandisa simba kudzingira vanhu kunze kwekereke.

III JOHANE 1:9 Ndakanyorera kereke asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.

“Kuva mukuru”.

Hapana muBhaibheri paive nechinzvimbo “chaPasita” chakabatanidzwa nezita remunhu.

Nhasi izwi rekuti “Pasita” rinobatanidzwa nezita remutungamiri wekereke nekuti anoda kuva mukuru pakati pesangano.

Kana Jimi ari pasita mukamudaidza kuti “Pasita Jimi” munenge makarasika kubva kuMagwaro.

III JOHANE 1:10 Naizvozvo kana ndichivuya; ndicharangarira mabasa ake aanoita , kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye haatendi: naizvozvo bedzi iye amene haagamuchiri hama; vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.

Nhasi, ndiyani ane simba rekuparidza zvinhu zvisimo muMagwaro zvakaita sekuti “Mwari Mwanakomana” nekuti “Mwari Mumwe muVanhu vatatu” nekuti “Munhu wechipiri muhuMwari” nekuita simba rekudzinga vanomupikisa mukereke? Zviri pachena ndiye Pasita.

Saka kukanganisa kusimo muMagwaro kweTiriniti kwakapinda mukereke kwakabata nhorondo hurusa yekereke.

Tiriniti inonemba pfungwa dzevanhu nekuti vanenge vasisagoni kutenda kuchokwadi cheMagwaro.

Saka, vanenge vasingagoni kubatanidza magwaro maviri anotevera aya kuti vawane “Zita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene” rinova Jesu Kristu.

MATEO 28:19 Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabapatidze muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene.

MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai mumwe nemumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.

Vakazvisimbisa vanotiudza kuti Petro akakanganisa.

Asi havagoni kutiudza kuti zita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene nderekutii.

SaBaba, Mwari aive pamusoro pemaJuda.

 

 

Ari Mwanakomana Mwari aive nemaJuda.

Emanuere Mwari anesu.

 

 

SaMweya Mutsvene, Mwari ari mukereke Yake.

 

 

Baba. Mwanakomana. Mweya Mutsvene. Mwari pamusoro pakati nemuvanhu Vake.

Tiriniti yeRoman Catholic yakabva kutiriniti dzechipegani yakasvibisa masangano emakereke zvikaita kuti vanoenda kumakereke vatadze kubapatidza sezvakaitwa nemapostora ekutanga.

Vemasangano vanofara kugamuchira Tiriniti yeRoman Catholic saka vanoramba kubapatidzwa sekubapatidza kwakaitwa naPetro naPauro.

MABASA 19:4 Zvino Pauro akati: Johane wakabapatidza norubapatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake, iye Jesu Kristu.

5 Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabapatidzwa muzita raJesu Kristu.

Kristu chinzvimbo chinoreva kuti “Wakazodzwa”.

Ishe chinzvimbo.

Zita nderekuti “Jesu” asi rinoda chinzvimbo chimwechete Ishe kana kuti Kristu, kuti muzive kuti Jesu wamuri kutaura nezvake ndeupi. Vanhu vakawanda nhasi vane zita rekuti Jesu.

Asi kuna Ishe Jesu mumwechete anodaidzwa zvakare kuti Jesu Kristu nekuti zita ndiJesu.

Pauro akatiyambira kuti tisapokane naye.

Akadzokorora yambiro iyi kaviri achisimbisa.

VAGARATIA 1:8 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.

9 Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo: kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.

Pauro aibapatidza muzita raShe Jesu.

Aiziva kuti zita raMwari ndiJesu.

Kupokana naPauro kutukwa. Munenge mava mbuva yenguva yeKutambudzika kukuru.

Vaparidzi vemasangano vakawira pasi pekurudziro yeRoman Catholic mudzidziso dzavo zhinji, kunyanya Tiriniti.

Zvishoma nezvishoma asi pachokwadi, zvitendero zvechiCatholic zviri kunemba pfungwa dzedu.

Kusimuka kwaJoe Biden muRoman Catholic kuva mutungamiri weAmerica chiratidzo chedambudziko riri kuuya nekukasika richatendera kereke yeRoman Catholic kutonga America nekuparadza America. Ipapo mamwe masangano emakereke anozomanikidza vanhu kugamuchira kutonga kwaPope panosimuka Pope wekupedzisira achitora simba pasi rese ari munhu wezvivi nemwanakomana wekurashika.

II VATESARONIKA 2:3 Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuva nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa.

Kurasika kukuru kubva kuchokwadi cheBhaibheri kwakaitika munguva yeRima Martin Luther asati azivisa Pope semunhu wezvivi.

Munhu mumwechete anodaidzwa kuti “mwanakomana wokurashika” aive Judasi Iskarioti aive mupostora zvichireva kuti mutungamiri wekereke.

Jesu akataura Judasi mumunamato wake semupostora mumwechete aizomutengesa (Jesu ndiye Shoko) achibva arasika.

JOHANE 17:12 Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, vamakandipa; ndikavarinda panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashika kuti rugwaro ruitike.

Saka Pope wekupedzisira, munhu wezvivi achawanikwa mukereke.

Vezvematongerwo enyika havatauri “nezvezvivi” uye “kurashika”.

Saka munhu wezvivi wekupedzisira achave mutungamiri wekereke.

Saka chakaipa chaicho kutengesa rudo rwekutevera Magwaro zvakazara kuri kuitwa nevatungamiri vemakereke.

Ndipo pachaitika chiratidzo chechikara mune vanoenda kumakereke mupfungwa dzavo nekuti kufunga kwavo kuchamanikidzwa, nevatungamiri vemakereke, kupinda mune zvimwe zvinhu zvinotendwa neRoman Catholic zvisino muMagwaro.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23