Varume vakachenjera neNyeredzi
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
25 Zvita ndiro zuva rakazvarwa mwari wezuva wemapegani Sol Invictus, zuva risingakundike. Zuva raakazvarwa rakakurira kereke.
First published on the 13th of April 2024 — Last updated on the 13th of April 2024Nyeredzi yaive isiri nyeredziwo zvayo. Vakaitevera kubva kumabvazuva kwemakore maviri. Nyeredzi dzinongoonekwa kwemwedzi mitanhatu padzinofamba kubva kumabvazuva dzichienda kuMadokero dzisati dzanyangarika kusi kwenyika kweimwe mwedzi mitanhatu. Pavakasvika kuJerusarema nyeredzi yakamira nyeredziwo zvadzo hadzimiri. Jerusarema raive gurukota rechitendero chemaJuda. Asi kwaive kusina chiedza ikoko. (Sezviri kereke nhasi uno). Saka, nyeredzi yakanyangarika kusvikira vabuda muJerusarema. Nyeredziwo zvadzo hadzidaro. Chidzidzo chiri pachena chekuti vatungamiri vemakereke havazivi zviri kitika nhasi uno. Vanoziva zvakakwana kuti vanhu vaponeswe kubva kugehena, asi havazivi kuti vogadzirira sei vanhu kuti Kuuya kwaShe kusvike vakarurama. Havazivi kuti voponesa sei vanhu kubva kunguva yeKutambudzika iri kuuya.
Mateo 25 ine mufananidzo wevasikana vakachenjera. Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechokwadi ndiyo mwenga waKristu. Asi vasikana vakachenjera zvisinei nekuti vakazadzwa nemweya vakavata panguva yekupedzisira. Kana matamudziko, mhere pakati pehusiku ikavamutsa, vanoudzwa kuti vabude mune chero kereke yavari vanosangane neChikomba. Sevarume vakachenjera vakabuda muJerusarema kunosangana naShe muBeterehema.
MATEO 2:9 Vakati vanzwa Mambo, vakaenda; zvino tarira, nyeredzi yavakanga vavona, kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba pakanga panomwana.
MATEO 2:10 Vakati vavona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru kuru.
Ipapo nyeredzi yakaenda kumaodzanyemba kuBeterehema. Nyeredzi dzinongofambbba chete dzichibva kumabvazuva dzichienda kumadokero nokuti nyika haimbotendereri nekumaodzanyemba.
Nyeredzi pamusoro peBeterehema yaizova pamusoro pezvivakwa zvese isingaratidzi imba chaiyo yaive naJesu.
Saka, yaifainira kudzika chaiko kusvikira yava pamusoro peimba yacho chaiyo. (varume vakachenjera havana kuenda kuchidyiro).
Nyeredzi yaive Mweya Mutsvene wairatidzika senyeredzi. Mweya Mutsvene wakatungamirira vanhu kuna Jesu Kristu. Varume ava vaive vasina kuchenjera nekuda kwezivo yavo voga. Vaive vakachenjera nekuti vakatsvaga Kristu.
Varume vakachenjera vachiri kutsvaga Kristu nanhasi.
Zivo yenyu inopimwa nedanho ramunotsvaga naro kunzwisisa chokwadi chakaziviswa muBhaibheri reKing James. Nekuti Jesu ndiye Shoko raMwari.
Saka, maonero amunoita Bhaibheri reKing James ndiwo maonero amunoita Jesu Kristu.
Maria ega ndiye aive ari mumba kwete Josefa. Jesu aive mwana aive ava kumakore maviri. Aive asisiri rusvava.
Evangeri raRuka rinotsanangura kuzvarwa kwake muchidyiro. Ruka anotsanangura Jesu seMunhu akarurama. Akaberekwa munhamo, anonzwisisa vanhu nekuti vazhinji varombo.
Mateo anotsanangura Jesu ari Mambo. Madzimambo haazvarirwi muzvidyiro zvemhuka. Asi varume vakachenjera vakabva kure kure kunomunamata nekumuvigira zvipo zvairatidza kuti vaifunga kuti aive ani. Ndiyo yaive nzira yakanakisa yekuzivisa Mambo.
MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawana mwana, naMaria mai vake, vakawira pasi, vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
Zvakadaro, yaive isiri nyeredziwo zvayo yakavatungamirira kuna Kristu. Waive Mweya Mutsvene wairatidzika senyeredzi.
Nei nyeredzi yakaonekwa nevarume vakachenjera voga?
Ndivo voga vakagamuchira zvaiitika. Ndivo vega vakanzwisisa zvaiitwa naMwari nguva iyoyo.
Kune vanhu vashoma kwazvo vanonzwisisa Zano raMwari munguva yavanorarama.
Kunogona kushaikwa muKristu anoziva kuti kereke inofanira kudzorerwa kune zvakatendwa mukereke yeTestamente Itsva.
Mbeu inokohwewa inofanira kufanana nembeu yakadyarwa.
Ndicho chikonzero nei Jesu achisimbisa kuti ndiye wokutanga nowokupedzisira.
DANIERI 12:10 “… Asi vakachenjera vachanzwisisa.”
Vasikana vakachenjera kuna Mateo 25 vakaenda kuChirayiro cheMuchato paKuuya kwaShe nekuti ivo voga ndivo vakanzwisisa Zano raMwari renguva yekupedzisira.
Tinogona chete kuchenjera kana tichinzwisisa zaruriro yenguva yekupedzisira yezvakavanzika zveMagwaro.
Jesu haana kuti kuchava nvatendi vazhinji nguva yekupedzisira.
RUKA 18:8 ... Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?
Vanhu vashoma kwazvo vari pamweya zvakakwana zvekuti vanonzwisisa zviri kuitwa naMwari nhasi uno.
Huvepo hwevarume vakachenjera kusanganisira ndarama isingaiti ngura kana kurasikirwa nekupenya kwayo zvinoreva kuti ndarama inomiririra Mwari.
Zvinonhuwira zvinotorwa pamiti zvogadziriswa mushonga unonhuwirira kana ukapiswa. Nyama yaipiswa sechibairo kuzvivi. Asi nyama yakatsva inonhuwa zvakaipa. Zvinonhuwira zvaibvisa mweya unonhuwa zvakaipa kuva pazvipiriso zvoshandurwa kuva zvipiriso zvinotambirika.
Mura inoshandiswa kuzodza zvitunha.
Varume vakachenjera vaiziva kuti Mwana Jesu aive Mwari pamuviri wenyama akauya kuzogara pakati pedu ari Emanuere. Ari Munhu, Akapa chipiriso chinotambirika. Aifanira kufira zvivi zvedu.
Mwari Mweya unoshamisa. Mwari haafi.
Vaive vakachenjera nekuti vainzwisisa zvaiitwa naMwari mumazuva avo.
Nhasi, hatina kuchenjera.
Magwaro haana kubvira atiti tipemberere Kuzvarwa kwaShe.
Mugore AD 274, Mubati weRoma yechipegani Aurelian akaita 25 Zvita zuva repakati penguva yechando musi wakaberekwa mwari wezuva Sol Invictus. Zuva risingakundike.
Aurelian aive achangova kuuraya Pope musi wa 22 Zvita AD 274. Asi pasina gore, mugore AD 275, Aurelian akauraiwa.
Mumashure memusi wa 25 Zvita mazuva akatanga kuita marefu kuchipisa. Mwana mwari wezuva aikura, sekutaura kwaiita mapegani.
Pope Jurio I, akafa muna AD 352, aive azivisa 25 Zvita sezuva rakaerekwa Kristu gore rakapoteredza AD 350 kuti kuve nemhemberero “dzechiKristu” dziri “dzezuva rakaberekwa” Mwanakomana waMwari. Izvi zvese zvaive zvisiri muMagwaro zvakangogadzirwa kuva pana mwari wezuva wemapegani. MaCatholic akagadzira Masi. Mhemberero dzaidaidzwa kuti Kirisimasi, dzakazova Kisimusi.
Hapana vafudzi vaive panze husiku nemakwai nguva yepakati penguva yechando. Vaizooma nechando vakafa.
Hakuna zvipo zvakauya pakuzvarwa kwaJesu. Kwakangouya vafudzi vaive nedikita vaive vatoneta havo nejana ravo zvekuti havanawo kutonzwa mweya wechidyiro chainhuwa.
Lenini, akatanga komiyunizimu, akataura kuti Kisimusi yaive kuenderera mberi kwekapitarizimu kupfurikidza nhau dzezvehupfumi.
Nhasi Kisimusi ndiyo inoitika mari zhinji kupfurikidza zvekutengeserana nzvimbo zhinji pasi rese.
Nguva imwechete yakatsamwa Jesu yaive apo vaitsinhana mari vachishandisa Tembere kuita mari.
Jesu akavarova akavadzinga muTembere musi weSvondo yemichindwi nezuva rakatevera racho musi weMuvhuro. Kuita uku kwakapfurikidza mwero, saka vakamuuraya musi weChina. SaJona, Jesu aifanira kuva ari muguva kwehusiku hutatu, China husiku, Chishanu husiku neMugovera husiku. “Chishanu Chakanaka” hazvisi muMagwaro. Hakuna chakaitika musi weChishanu.
Mari nechitendero musanganiswa wakaipisisa. Musafe makakanganisa mari dzapasita. Asi hakuna Magwaro anotaura kuti chegumi ndechapasita. Hakuna Magwaro anotaura kuti pasita akaiswa pakutonga kereke . Kune Gwaro rimwechete muTestamente Itsva rinotaura pamusoro papasita . Asi, mavhesi matanhatu muTestamente Yekare anotuka pasita. Makereke anopa pasita wawo mari vachinyengera kereke kuti kisimusi isimo muMagwaro musi wa 25 Zvita imhemberero dzechiKristu. Chimisikidzo chakanakisa chebhizimisi kumapasita.
Jesu akati varomo vakakomborerwa asi vanenhamo varombo.
Kisimusi hunyengeri hune mbiri, hune mavai vai anorasisa vazhinji.
Kupemerera zuva regore zvinorwisa Magwaro. Zvinotiita varanda vezvinhu zvisina maturo.
Pauro akatsanangura achiti tiri maKristu ekutambisa nguva.
VAGARATIA 4:9 Asi zvino zvamunoziva Mwari zvikuru zvamunozivikanwa naMwari, modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?
10 Munochengeta misi, nemwedzi, nenguva namakore.”
Musi wa25. Mwedzi wechi12. Nguva yeKisimusi. Gore rega rega.
VAGARATIA 4:11 “Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabate basa kwamuri pasina.”
Muti weKisimusi itsika yavapegani.
JEREMIAH 10:2 Zvanzi naJEHOVA, regai kudzidza tsika dzavanhu, musavhundutswa nezviratidzo zvekudenga nokuti marudzi avanhu anovhundutswa nazvo.
Vhesi iri rinotiudza kuti tisatevedzera tsika dzavanhu.
JEREMIA 10:3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo: nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramavoko omunhu unoveza nedemo.
4 Vanoushongedza nesirveri nendarama, vanourovera nembambo, nenyundo, kuti urege kuzununguka.
Kutema muti nekuushongedza hazvifadzi Mwari.
Asi kereke yakanyengera vanhu kuita tsika idzi. Semarenti asimo muMagwaro neChishanu Chakanaka chisimo muMagwaro neMuvhuro weIsita usimo muMagwaro.
Kunyengerwa nevakuru vemakereke anhasi, tinova vasikana mapenzi. Mhandara vasikana vakadzi vakachena vanomiririra maKristu akaponeswa vanhu vari mukereke.
Vasikana mapenzi vakaponeswa asi vakanyengerwa. Vasikana mapenzi vakaponeswa asi vakanyengerwa netsika dzekereke kana chichechi chechi.
Mumufananidzo wekuna Mateo 25, Vasikana mapenzi vanopesana neKuuya kwaShe voguma vauraiwa zvinorwadza munguva yeKutambudzika kukuru.
Nekusadzorerwa kuzvitendero zveTestamente Itsva zvemapostora, vasikana mapenzi vane masangano 45,000 akasiyana emakereke ekusarudza kubva kwaari.
Sarudzo inorema kuita. Saka, vanongosarudza kuri nani kunovaitira voshuva kusangana nezvakanaka.
Nekuti vakanyomba Bhaibheri reKing James vachiti harina kururama, vasikana mapenzi vakaita avo maBhaibheri anodarika zana eBhaibheri reChirungu.
Saka, vanotenda kuti hakuna Bhaibheri rakarurama nekuti kuri kuramba kuchinyuka mavhezheni matsva akagadziriswa.
Magwaro ndiwo nheyo dzekutenda kwedu.
VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neShoko raMwari.
Kana musina Bhaibheri rakarurama, hamugoni kuva nekutenda kwakarurama muna Jesu Kristu.
Jesu ndiye Shoko raMwari.
Kana Bhaibheri risina kururama, muri kuti Jesu haana kururama.
Isarudzo yehubenzi inoitwa nevasikana mapenzi.
Ndinogona kufungidzira kuti Pauro anoshaiswa mufaro kusvika papi nemakereke anhasi.
Pamusoro pazvose, hakuna zvakaprofita kana mufananidzo wenguva yekereke yekupedzisira zvinotaura zvakanaka pamusoro penguva yekereke yekupedzisira.
Mubati weRoma yemapegani Aurelian akatanga 25 Zvita sezuva rakaberekwa mwari wake wezuva aive ani?
Aive mukuru wemauto aive nechipo kwazvo. Hushe hweRoma hwaive hwapatsanurika kuita hutatu. Ndicho chikonzero nei hwaive hwaneteswa. Hapana pazvikamu zvitatu izvi chaive chakasimba chakazvimiririra. Vaifanira kuva vakabatana kuti vakunde. Aitonga chikamu chepakati. Akabva apamba nekukurira chikamu chekumadokero. Kumadokero kwaive nemutungamiri akaneta. Akabva aenda kumabvazuva akatapa zvakare. Hapana pakati pevatungamiri ava aikwanisa kumira pazvidavado zvake zvekurwa. Apedza kubatanidza hushe akadzoka kuRoma mugore 274 AD akaita 25 Zvita zuva rakaberekwa Mwari wezuva. Sol Invictus (Zuva risingakundike) semhemberero dzechipegani dzaipembererwa nehushe hwakabatana. Dzakaratidza mhemberero huru dzechitendero. Zita rake Aurelian raiita sekuti ndiro raive ora yezuva zvikamupa chiremerera chekuva muprista mukuru wamwari wezuva. Nguva yakapoteredza AD 350, bhishopu weRoma akatora mutambo mumwechete uyu akauisa kukereke yeRoma. Saka, zuva rekuzvarwa kwamwari wezuva rakashandurwa kuitwa zuva rekuzvarwa kweMwanakomana waMwari rakazozivikanwa seKirisimasi kana Kisimusi. Saka Zuva risingakundike rakakurira kereke yemaKristu nezuva rekuzvarwa kwamwari wechipegani. Jeremia chitsauko 10 inoti hatifaniri kushongedza miti, asi Zuva risingakundike rinoti tinofanira. Toterera ani? MaRoma echipegani aive nemazuva gumi nemaviri ekupanana zvipo muna Zvita. Saka, taifanira kuita izvozvo zvakare. Kana zvakanaka kumapegani zvakanakawo kumaKristu. Zvese zvakabva pazvipo zvevarume vakachenjera. Vasikana mapenzi vanoti varume vakachenjera vakauya nezvipo kumwana Jesu ari muchidyiro. Hachisi chokwadi.
MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawana mwana, naMaria mai vake,
Yaive imba. Aive asiri rusvava asi Mwana muduku. Hapana kutaurwa nezvaJosefa kana vafudzi kana mhuka. Asi ndiyani ane hanya nazvo? MaRoma echipegani aipanana zvipo muna Zvita. Saka, kereke inoti varume vakachenjera vakauya nezvipo kuMwana muchidyiro. Izvi zvinongoratidza kuti vanoenda kumakereke havaverenge Bhaibheri zvakanaka.
Vanongoona zvavanoda kutenda mazviri.
(Mazai eisita nemabhanzi anopisa ane michinjiko kune ari kumada here? Santa? “Chishanu chakanaka” chisimo muMagwaro kana “Muvhuro weIsita” kana Renti?)
Ipapo munoona kuyananisira kwakaita Aurelian, kubatanidza kereke nechipegani, mumashure mekunge abatanidza hushe hweRoma yemapegani. Kuti tigare tichiziva, akaurayawo maKristu. Zita rake remadunhurirwa raive Manu naFerrumi. Ruoko rwekuba. Akagadzirisa matambudziko nekuparadza hupikisi nemunondo wake.
Saka chenjerai pamunopikisa nekushoropodza Kisimusi. Hupikisi humoparadzwa.