Vanhu vaipokana nevhakisini rekudzivirira hutachiwana vakafa neCOVID-19 muna 2021



Ungarasike sei. Vaparidzi vakazvidza jekiseni rekudzivirira Covid-19 vakafa nehutachiwana hwecovid 19.

First published on the 21st of May 2022 — Last updated on the 21st of May 2022

Vatungamiriri vemakereke vanowanzokanganisa

 

Nhorondo dzinoratidza kuti vatungamiri vekereke vanowanzokanganisa.

Munguva dzakadarika, vatungamiri vemakereke vakaipisa kwazvo nekutsigira kwavo hunhapwa, vakaita makurusedhi aiuraiwa vanhu, nekusungisa vose vaipokana navo.

Vamwe vatungamiriri vemakereke vachiri kuparidza zvinhu zvakaipisisa nekupikisa kekiseni rekudzivirira Covid-19. Vari kungoparidza kushaiwa zivo kwavo. Vakazvisimudzira kuva vatungamiriri vekereke vanoparidza vachipikisa kubaiwa jekiseni rekudzivirira hutachiwana asi havana kudzidza zvehutano. Izwi rekuti “pasita” rakatarwa kamwechete muTestamente Itsva rikatukwa katanhatu muTestamente Yekare. Vafundisi (mapasita) havangatarisirwi kuva matsime echokwadi chemuBhaibheri sezvo pasina gwaro muTestamente Itsva rinotaura kuti pasita ndiye musoro kana mutungamiriri wekereke. Mapasita vakapamba hutungamiri hwekereke vakatanga kuhuita nenzira dzehudzvanyiriri kupfurikidza kudzinga vanovapikisa. Vanoshandisa simba ravo kuchengetedza simba ravo, nemari dzavo. Rangarirai Judasi.

Covid-19, pakupera kwegore 2021 yaive yauraya vanhu mamiriyoni mashanu nevanhu vekuAmerica vanodarika 1000 vaifa zuva nezuva nekorona. Kukanganisika kwezvehupfumi kwakakonzereswa nehutachiwana uhu kwakakura kwazvo. Makereke akanamatira kupera kwacho asi hakuna chakashanduka. Pachinzvimbo chekuti minamato yemakereke imise korona, korona ndiyo yakapfiga makereke muna 2020.

2020 zvinoreva kuti maonero akajeka. Saka, mugore 2020 takaona zvakajeka kuti Mwari anofungei pamusoro pemakereke edu, kuti aive akafanira kuvharwa chete. Mapasita haazivi kuti hutachiwana uhu hwaikwana sei muZano Guru raMwari.

2020 rakava gore rakaoma. Hutachiwana hwakakonzera kuipa kukuru muhutano nekuparara munezvehupfumi pasi rese. Ruchengetedzo chairwo raibva pakupfiga zvinhu zvese. Vanhu vakagara mudzimba asi vhazhinji vaisakwanisa kushanda kushaiwa mari kwakatevera. Zvipatara nevanoshanda munezvehutano vakaneteswa vashandi vazhinji mune zvehutano vakafa nekuti vaive pamberi pakusanganidzana nechirwere ichi.

Mukati mekurwisa kwavo chirwere ichi, vatungamiri vemakereke vakagara vasisina simba asi vakachengetedzeka mudzimba dzavo, vakasiira basa rese kune vaive vakasungirwa kuita basa iri vezvehutano vaive vakazvipirawo vakaumba nzira yekugadzira jekiseni rekudzivirira hutachiwana. Ipapo, zvinhu pazvaive zvati itei nani, vakuru vemakereke vazhinji vakasimuka kurwisa nzira imwechete yega yataive tava nayo yekurwisa hutachiwana, inova iwo majekiseni. Izvi zvakadzikisira chitendero chemakereke. Vakapomera jekiseni kuti rairwisa hutano hwedu hwatakasikwa tinahwo nemasoja emiviri anotichengetedza.

Pakupera kwegore 2021 mavhakisini anodarika mabhiriyoni gumi aive abaiwa hafu yevanhu pasi rese. Hakuna kumboonekwa kukanganisika kwemasoja emiviri kunotyisa. Asi ndufu dzakadzikira munzvimbo dzevavanhu vakabaiwa. Vanhu vashoma kwazvo vakabaiwa vakapinda muzvipatara vabata hutachiwana uhu.

Vanhu vetsvagurudzo vakazivisa kuratidzira pamusoro pehudzvanyiriri hwehurumende nemabhizimisi makuru vaive nemakaro saka vakanyengera vatungamiri vemakereke kuti varwise vhakisini inova ruchengetedzo rwedu rukuru, asi makereke akakundikana kwazvo kutichengetedza mugore 2020.

Kudzora kupararira kwehutachiwana, hurumende dzakazivisa hudzvanyiriri hwakauya nenzira yekuvharirwa mudzimba kana kumanikidza vanhu kubaiwa vhakisini. Dai hurumende isina zvayakaita hutachiwana hwaipararira hokonzeresa dambudziko guru munezvehutano nehupfumi hwenyika.

Kupikisa hudzvanyiriri muhurumende kunonzwisisika. Asi kurwisa vhakisini vachiti chinhu chakashata chinozounza matambudziko makuru mune zvehutano kunyepa. Kupikisa kuita kwehurumen de kwekuda kuchengetedza hutano hwenyika kwakaipa.

Zvino, makereke mazhinji akatanga kurwisa kupfeka mamasiki sekunge zvakaipa. MaKristu akanyengerwa kuti arwise zvese zvinoitwa nehurumende. Kunge Mwari akagadzira chiKristu kuti chirwise hurumende pamusoro pezvehutano.

Makereke eTestamente Itsva haana kubvira azviisa munhau dzezvematongerwo enyika.

Saka, vamwe vatungamiri vemakereke mukupusa kwavo munezvematongerwo enyika vakarwisa ruchengetedzo rwaive rwauya (vhakisini) vachiti vhakisini rinokanganisa masoja emiviri yedu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu ose anowira mugomba. Mugore 2021 mapasita emakereke akawanda, uye Mwari ega ndiye anoziva kuti vangani vevateveri vavo, vakaripira muripo wekupedzisira wekushaiwa zivo kwavo panhau dzezvehutano nemaonero avo pamusoro pevhakisini asina humbowo hwekuipa hwayo. Covid-19 yakauraya maKristu akawanda vangadai kana kuti vaitokwanisa kubaiwa. Makereke akatanga muripira muripo wekunyengerwa kwavo.

Vatungamiri vemakereke ava vanonyengerwa kuti varwise vhakisini, zvisinei nekuti vhakisini ndiro rega nzira yekurwisa nayo hutachiwana iri nyore. Mhezi, rebhisi, nehepataitisi A ndezvimwe zvezvirwere zvinouraya zvakakwanisa kupedzwa nekubaiwa mavhakisini. Vhakisini ndiyo yega nzira yatinayo isu vanhu yekudzivirira kuhutachiwana.

Zvino, pakarepo, vatungamiri vemakereke vakanyengerwa vakapindira zvematongerwo enyika zvenhau dzehutano hwenyika. Mamwe makambani vanoita mari zhinji nemavhakisini, asi izvi hazviiti kuti vhakisini rive rakaipa. Henry Ford akaita mari zhinji nemotokari naElon Musk. Asi izvi hazvina kutimisa kutenga motokari. Uye hazvina kuipisa motokari.

Vanotyaira magonyeti vekuCanada vakavhara zambuko guru pakati peguta reWindsor muOntario neguta rekuAmerica reDetroit kwemazuva matanhatu. Bhizimisi guru rinoitwa rinodarika nemugwagwa iwoyo nderezvinhu zvemotokari zvinonge zvichiendeswa kuAmerica muguta reDetroit. Bhizimisi rezvidumbu zvemotokari rakarasikirwa nemabhiriyoni emadhora. Vemagonyeti vakaita kuti ive nyaya yekuramba vhakisini. Asi yakazokura ikaita nyaya yakapindirwa nehurumende. Vakataura nehurumende vachiiudza zvekuita. Vaida kuwana rusununguko rwavo rwekuita zvavanoda.

Tarirai kuita kukuru uku. Vatyairi vemagonyeti vakaramba kudzvanyirirwa nehurumende yaivamanikidza kubaiwa vhakisini kana vaida kutyaira vachipinda muAmerica vachiendesa zvidimbu zvemotokari nemamwe mabhizimisi. Vakabva vaisa hudzvanyiriri hwakaoma pamakambani aigadzira zvidimbu zvemotokari nekupfiga zvinhu pavakavhara zambuko vakatora rusununguko rwemakambani ezvinhu zvedzimotokari rwekuita bhizimisi.

Vanhu vanopikisa hudzvanyiriri vanenge vachitozvidzvanyirira kwazvo kana vakaita mukana wekubvisa rusununguko rwevamwe. Saka, ngwarirai vamunoteerera kana makudzika gata rezvematongerwo enyika.

Varwi “verusununguko” vaiita kunge vadzvanyiriri vakaipa vaida kuparadza mabhizimisi vakaisirawo vana vavo muganhu kana dziviso pakati pavo nemapurisa. Vakatevedzera nzira dzematerorisiti mukuratidzira kwekutsvaga rusununguko uku.

Mweya unosairira vanhu vanoramba vhakisini ava hauna kunaka uye unehudzanyiriri mauri.

 

Vhakisini rekutanga rakagadzirwa muna 1796

 

 

Vhakisini rakatanga kubudirira rakagadzirwa naEdward Jenner muna 1796 kuti rirape chirwere chakaipisisa chemhezi chaive chauraya makumi emamiriyoni mumasenturi akati kuti.

Mumakore ana 1700 vanhu vanosvika zviuru mazana mana vekuEurope vaifa gore rega rega nechirwere chemhezi chikamu chimwechete muzvikamu zvitatu zvevakararama kuchirwere ichi vakaita mapofu. Mhezi idzi dzaisiyawo mavanga akaipisisa paganda. Vhakisini iroro, rakatorwa kubva kumombe, rakarambwa nevanhu vazhinji, kusanganisira mamwe madhokotera akapfuma kwazvo ekuLondon nezvimwe zvakataurwa, vaitya kuti zvinokonzeresa kukanganisika kusina anoziva asi kwakaipa pavanhu. Vanopikisa vhakisini vanoti vhakisini rinosanganisira kubaya vanhu chefu inonzi kawupokisi zvinozokonzera “zviri pachena” kukuvadzwa kukuru kwevanhu munguva dzinouya. Zvakadaro, Jenner haana kuvateerera. Kawupokisi yakadzidzisa miviri yevanhu kugadzira masoja emuviri anorwisa chirwere chemhezi.

Vanopokana nevhakisini vakataura zvisina musoro kuti kusagadzikika kwavo nekutya zvinhu zvaizokonzereswa nevhakisini kwaive kwakanyanya kudarika kuipa kwaionekwa ipapo nendufu dzaikonzerwa nemhezi idzodzo mugore 1796. Jenner haana kuita makore achiedza vhakisini rake. Rakangoshanda pakarepo nekuti sainzi dzaaishandisa dzaive dzakanaka. Kana mukashandisa sainzi dzakanaka, munokwanisa kuwana mhinduro yakanaka pakarepo. Neil Armstrong ndiye munhu wekutanga akasvika kumwedzi. Kunomhara kumedzi kwaive kusati kwamboedzwa. Sainzi dzakanaka dzakamudzosa kumba akanaka.

Izwi rechiRatini rekuti “vacca” rinoreva kuti mombe. Ndipo panobva izwi rekuti vhakisini.

Mumakore ana 1800 kusvika 1900 nekufamba kwaiita makore, vaipikisa kubaiwa mavhakisini vakatanga kuonekwa kuti vaive vachirasika chirwere chemhezi chakanga charwiswa nevhakisini. Humbowo ndehwekuti tese tave kurarama kwenguva refu nekuti chirwere chemhezi hachisisiko. Vanoramba vhakisini vakakanganwa kuti mishonga chipo chakabva kuna Mwari. Zvakangofanana nemasejari nemajekiseni.

Nhasi, vanoramba kubaiwa nhomba vanotaura zvimwechete izvozvo. Vanotya shanduko dzakaipa dzinozoitika mumiviri yedu. Izvi hazvisati zvaitika asi munyika chaimo vanhu vakabaiwa vhakisini vanhu havanyanyi kurwara sezvinoita vasina kubaiwa.

Vasingadi kubaiwa vhakisini vanotaura zvisina maturo kuti nguva inouya masoja emuviri anourayiwa, izvi zvinogona kana kutadza kuitika, zvinozongoitikawo nenzira inorwadza kupfurikidza kutadza kufema.

Mumakore maviri ekutanga evhakisini pasi rese, huwandu hwendufu nehuwandu hwevanhu muzvipatara hwakadzikira kwazvo. Izvi zvinoratidza kuti vanopikisa nhomba vakarasika. Nekufamba kwenguva, kushaiwa chokwadi kwekutaura kwavo kuchava pachena.

 

Vhakisini harigoni kuderedza huwandu hwevanhu pasi rese

 

 

vhakisini raive rakanzi inzira yakavanzika iri kushandiswa kuderedza huwandu hwevanhu pasi rese. Asi huwandu hwendufu pakati pevakabaiwa, hwakakonzereswa neCOVID-19, hwakaderera nezvikamu 50 kubva muzana kudarika ndufu dzakakonzerwa neCovidi 19 pakati pevasina kubaiwa vhakisini.

Vanhu vanoramba vhakisini vanoti vhakisini rakagadzirwa nekukasika kwazvo zvekuti haringaiti rechokwadi. Asi mutsvagiridzi Dr Kati Kariko kuUnivhesiti yePennsylvania akanga ane makore 40 achishanda nenhume RNA (mRNA).

Nhau isina kukosha yemunhu wesainzi uyu yakabva yaziviswa kuvanhu vaigadzira vhakisini pakatanga chirwere ichi. Kugadzirwa kwevhakisini hakuna kutangira pazero, sezvo kwakatanga nemakore 40 etsvagiridzo yaiitwa nemukadzi uyu.

Vhakisini hachisi chinhu chinorwisa Bhaibheri nekuti makabaiwa mavhakisini kakawanda kubva pakuzvarwa kwenyu. Dai zvisirizvo, mungadai musina kukura kudaro. Munguva dzeRima munhu aitarisirwa kurarama makore 35 kana mukadarika hudiki. Mavhakisini akashandura zvinhu. Nhasi, pakati nepakati, vanhu vanotarisira makore anosvika 75.

Saka, vhakisini rakanaka rakasimbisa hutano hwevanhu saka rinofanira kutendwa kuva chipo chakabva kuna Mwari.

 

Zvipo zvinoporesa zvinobva kuna Mwari

 

 

1 VAKORINTE 12:7 Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa kwomweya, kuti vose vabatsirwe.

Mwari anopa rubatsiro rweMweya wake unoshamisa kuvanhu vakazvimiririra kuti vabatsirewo vamwe.

I VAKORINTE 12:8 Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu;

Chekutanga, Mweya Mutsvene unopa huchenjeri kumunhu kuti munhu iyeye agone kunzwisisa zvinoreva Bhaibheri nenzira dzaro kuti mamwe Magwaro agone kubatanidzwa pamwechete kuti Chokwadi chakazara chiziviswe chakafanana nenguva nomwe dzemakereke kana kunzwisisa chivi chekutanga. Kutaura kuti Adamu naEva havana kuteerera Mwari hakusi kutsanangura, kungobvuma kuti vanhu havana ruzivo rwezvakaitika muEdeni. Vanhu vanoenda kumakereke vasina zivo vanoziva kuti Mwari anoda kuti ropa remhuka isina mhosva rideuke kuti riripire zvivi asi havazivi kuti nei Mwari akada kuti izvi zviitike.

Zvino Mweya waMwari unotipa ruzivo rwekuti tinzwisise mavhesi eBhaibheri kuti tizive zvatinenge tichitaura nezvazvo. Nyanga duku kuna Danieri imbori chii yakakura pakati penyanga gumi pachikara cheRoma asi yakabudawo pakati penyanga ina dzegondobwe rechiGiriki?

Nei Jesu akaudza Maria kuti asamubate kuna Johane asi akamutendera kubata tsoka dzake kuna Mateo?

I VAKORINTE 12:9 mumwe, kutende muMweya iwoyu; mumwe iwoyu; mumwe zvipo zokuporesa muMweya iwoyu;

Huchenjeri nezivo zvinoteverwa nekutenda kunofanira kuvakirwa paShoko raMwari.

Tinogona chete kuvaka kutenda kwedu paMagwaro atinonzwisisa.

VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari

Mweya Mutsvene chete ndiwo unogona kutipa hutungamiriri hwatinoda kuti tinzwisise Bhaibheri neKuda kwaMwari kuti tiwane gwara munguva dzino dzakaipa dzinorwadza nguva dzekuguma. Kunzwisisa micherechedzo yeMagwaro kunotigonesa kuziva muvengi nekuti ipapo chete tinodzivirira kunyengerwa.

Rangarirai kuti Petro akakanganisa kangani pakuguma kweKuuya kwaKristu kwekutanga. Zviri nyore kuti chero munhu akanganise.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Tarirai Pauro paakaisa kukosha paMweya Mtsvene uchizviratidza kwatiri vanhu.

Pauro akatanga kutaura kukosha kwekururama kweBhaibheri asati anyora zvishamiso neminana yemweya unoshamisa.

Izvi zvinotiyambira kuti kana tisingazivi zvatiri kutaura nezvazvo kubva muMagwaro, tinoguma tanyengerwa.

Mweya unoshamisa hauna zvakawanda zvaunoreva kana zvatinotenda zvakaipa.

MATEO 7:21 Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga

22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?

23 Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

Kutadza nebwoni kutadza tichiziva kuti zvatiri kuita zvakaipa.

Kana tikarwisa vezvehutano nechikonzero chekuti vakagadzira nzira yeruchengetedzo kubva kuchirwere, chirwere chakavhara makereke, tinofanira kuziva kuti takarasika kwazvo.

Kana Mwari achida kuita kuti cherwere chideredzwe uye chinhu chega chinokwaisa kurwisa hutachiwana chinenge chiri vhakisini, kana vaparidzi vakatuka vhakisini, Mwari anobvisa vaparidzi.

Kana mukapokana nezvinoda kuitwa naMwari, musashamisike kana mwari akakubvisai.

Mwari aida kuti maJuda arwise vanhu vakasimba kwazvo kuti vabude muNyika yeChipikirwa.

Mosesi akatumira maJuda gumi nevaviri kuti vanosora nyika vawane ruzivo rwenzvimbo vasati vairwisa.

MaJuda gumi vaitungamirira vakarasika vakarwisa Zano raMwari. Mwari akavauraya.

Mwari vaive vasingaadzwe nezvaifungwa nevanhu vaitungamirira ava vakazvidza Nyika yeChipikirwa.

NUMERI 14:36 Zvino varume vakanga vatumwa naMosesi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,

Vanhu vanogaroita sevasingafariri Zano raMwari. Vatungamiriri vakavaita kuti vapikise Zano raMwari vakaparadzwa.

NUMERI 13:37 Varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJEHOVA.

Mwari akatendera vhakisini kuti rigadzirwe rideredze hutachiwana.

Vose vakapikisa vhakisini vari munzvimbo inotyisa.

 

Huchenjeri hunopindura mubvunzo wekuti, Nei?

Ruzivo runopindura mubvunzo wekuti, chii?

Huchenjeri nezivo yeMagwaro zvichavaka kutenda kwedu kuti tiwane Kuda kwaMwari kuzuva redu ranhasi.

Zvinoshamisa, kana tikaziva zviri kuitika, ipapo kuratidzwa kukuru kweMweya waMwari ndiko ZVIPO zvekuporesa. Muhuzhinji.

Mwari anoziva kuti hurwere hunokonzeresa kutambudzika kuzhinji uye Mwari ane nzira zhinji dzekurapa hurwere.

Ruponeso runouya nenzira dzakawanda. Munamato. Vanachiremba. Mapiritsi. Majekiseni. Ekisireyi. Sikani. Kubviswa kwenhengo dzemuviri nekuiswa dzimwe. Mitezo yekugadzirira. Kudya kunovaka miviri. Vhakisini. Kuchengetedza nekutarira.

Mishonga mizhinji ine chefu. Mate enyoka anogona kuwanikwa mumapiritsi ebhi pii.

Mimwe mishonga yakaipisisa zvekuti inofanira kushandiswa nenyanzvi chete. Asi mishonga iyoyo ndiyo imwe yemakomborero atiinawo nhasi. Chimbofungai kuti kuchekwa kana kubviswa zino pasina mushonga wechiveve.

Saka, Mwari anotoshandisa mishonga imwe yakaipa kubatsira hutano hwedu. Tinofanira kungwarira tisati tatuka kana kuzvidza zvinenge zvagadzirwa nevesainzi dzehutano.

Zvipo zvekuporesa zvinotaurwa pasati pataurwa zvipo zvinoshamisa zveminana, zvekuprofita nekuratidzwa.

Kupikisa nzira dzekuporesa kupikisa chipo chaMwari chaakapa kuti rudzi rwevanhu rwubatsirike.

 

Kutaura kwenhema kunopikisa vhakisini

 

 

mutungamiri wenyika yeRussia Putin ane mauto mazhinji anoparidza nhau dzekupokana nevhakisini muAmerica yese nepasi rese, kuti asimudze bope pakati pevanhu. Kumadokero kune vanhu vezivo vanonyengereka zviri nyore. Vavhangeri vanonyengerwa nekurangana kwevanhu vezvematongerwo enyika vanogona kutoita chikamu chevasikana mapenzi kana vasikana vakanyengerwa (vanomiririra vanhu vekereke yakaponeswa vakabvisa meso avo paBhaibheri kuti vatevere zvematongerwo enyika nevanhu vanotungamirira.

Vanachiremba, kunyanya kana vachibhadharwa, vanokwanisa kunyengerwa zviri nyore nevanotsvetera ava sezvinongoitwa vanhu vese.

“Vamwe vanhu vachafa nevhakisini,” Dr Sherri Tenpanny vakadaro pavhidhiyo yakaonekwa nevanhu vanoda kusvika miriyoni. “Asi vanhu vazhinji vachatanga kuita hurwere kwakaipisisa voita zvirwere zvinokurira masoja emiviri, mumazuva 42 kana pagore rekunge vabaiwa.”

Vhakisini reCovid-19 raivepo mugore 2021 kutaura kwaTenpenny kwakaratidzwa kuti dzaive nhema sezvo kusina ndufu dzakakonzerwa nekukanganisika kwemasoja emiviri dzakaitika muna 2021, kana nguva dzakazotevera.

Muna 2022 ndufu dzeCovid-19 muvanhu vasina kubaiwa muAmerica dzaive 98% kana zvichienzaniswa nendufu dzevanhu vakavhakisinetwa dzaive 2%.

Vanhu vakawanda vanopikisa vhakisini vari kufunga kuti vanhu vakavhakisinetwa vachafa kuti vatsigire zvavaitaura. Kutarisira rufu rwemunhu chinhu chakaipa kwazvo.

Vhakisini rekudzivirira hutachiwana rakadaidzwa kuti “rangano yekudzikisa huwandu hwevanhu” kuti vauraye mabhiriyoni evanhu sezvaitaurwa pamusoro pemavhakisini nevamwe vaiti ane chefu anogona kuhafura huwandu hwevanhu panyika mumakore mashanu. Izvi zvinoreva kuti paizouraiwa vanhu 4 bhiriyoni mumakore mashanu nendufu 15 miriyoni vhiki rega rega. Hazviitiki izvi.

Huwandu hwevanhu pasi rese hunowedzera nevanhu 85 miriyoni pagore vanova vanhu 1,600,000 avhiki.

Kuti huwandu hwevanhu huderedzwe panyika panenge pachida kuuraiwa vanhu 85 miriyoni pagore.

Izvi zvinoda dzimwe ndufu 2 miriyoni pavhiki.

Mumakore maviri ekutanga ehutachiwana, ndufu 6 miriyoni dzehutachiwana zvichienzaniswa nendufu 60,000 pavhiki.

Ndufu 60,000 pavhiki hadzigoni kuderedza huwandu hwevanhu panyika sezvo kunozvarwa vana vanodarika miriyoni rimwechete nehafu vhiki rega rega.

Hutachiwana hwecovid-19 haugoni kuderedza huwandu hwevanhu panyika sezvo huchiuraya vanhu vashoma kudarika chikamu chimwechete muzvikamu gumi zvehuwandu hwevanhu vanozvarwa panyika. Huwandu hwevanhu hwemabhiriyoni 7.7 muna 2019 hwakakura kusvika mu 7.8 bhiriyoni mukati menguva yekuipa kwehutachiwana uhu.

Saka, Covid-19 yaive isiri bhomba rekuderedza huwandu hwevanhu.

Asi, kusvika parizvino, vhakisini rakaderedza huwandu hwendufu dzaikonzereswa neCovid-19 munzvimbo dzakavhakisinetwa.

Mumashure memakore maviri tichirwisana nehutachiwana uhu, ndufu dzeCovid -18 dziri kuitika muvanhu vasina kubaiwa vhakisini.

 

Vhakisini haringaiti 666

 

 

MaKristu mazhinji evhangeri akadaidzawo vhakisini kuti “chiratidzo chechikara”. Uku kurasika kunotyisa sezvo vakanzvenga Magwaro.

Asi havana kubvira vagona kutsanangura kuti jekiseni repabendekete rinova sei chiratidzo chechikara pahuma kana pachanza chekurudyi.

ZVAKAZARURWA 13:16 Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;

Kana kutsanangura kuti “mufananidzo wechikara” unofanira kunamatwa kuti vanhu vasafe umbori chii.

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

Kana kutsanangura kuti munhu ane chiverengo 666 ndiyani.

ZVAKAZARURWA 13:18 Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.

Siko (score) zvinoreva kuti 20.

Vakawanda vanopokana nekubaiwa vhakisini vakapomera Bill Gates kuti ndiye munhu wacho.

Gates akapa 25 bhiriyoni (mari yakawanda kudarika yakaisa nevamwe vose vakabatsira vakabatanidzwa) kuti porio nemarariya zvirwiswe munzvimbo zhinji dzeAsia neAfrica.

Bill Gates akaita kuti vana vazhinji vararame kubva pahudiki kuva vanhu vakuru kudarika zvakaitwa nevamwe vanhu vose, totenda kuisa kwaanoita mari muzvirongwa zvemavhakisini. Saka, kutaura kuti Gates anoda kuuraisa vanhu panyika kuti huwandu hwevanhu huderere hazvina maturo.

Kupomera ikoko chete kunoita kuti vanopokana nevhakisini vave nemhosva yekusvibisa zita remunhu kumuita muipi. MaKristu anhasi anopomera zvenhema saka anofanira kuzvinyarira nekuda kwekuva vanhu vakadaro nekutaura zvinhu zvakaipa kudaro pamusoro pemunhu anoita mabasa akanaka anopa zvisina mupimo asinganyimi akaita saBill Gates.

 

Hakuna munhu mumwechete anotonga mavhakisini sezvo kune ndudzi dzinodarika ina dzemavhakisini dzakagadzirwa nenzira dzakasiyana. Vhakisini rinogona kushandisa hutachiwana hwakafa, kana kuti hutachiwana hwakaneteswa, kana chikamu chehutachiwana. Vhakisini rinogonawo kushandisa hutachiwana hwechirwere chedzihwa chinozivikanwa kuti hunopa basa kumasero emuviri.

Mavhakisini anosvika 20 ari kushandiswa uye mamwe mazhinji ari kugadzirwa.

Hazvigoni kuti munhu mumwechete aite simba pamusoro pemavhakisini aya ese.

 

Vanhu vezvivhiti-vhiti nevemawairesi vakapikisa vhakisini vakafa

 

 

Vamwe vanhu vezvivhiti-vhiti nevemawairesi vaipikisa vhakisini vakazofa zvinorwadza neCovid-19 muna 2021.

Zvikonzero zvavaive nazvo pakupikisa vhakisini zvakavarasisa vakaripira nemuripo unorwadza.

Vakapinda mukuratidzira kwezvematongerwo enyika vari kurutivi rwevanokurirwa. Vanhu vakadaro vanofara mukuvesa moto kuti vasimbise zvavanenge vachitaura. Asi kana mukavesa moto zviri nyore kuti auvesa atsve.

Saka, tine vatungamiri vezvitendero vakadyara zvitendero zvakaipa uye zvinouraisa.

Vaviri vevashandi vemawairesi ekuAmerica vakafa vaive vazoshandura moyo nekuti vakanga varwara zvakanyanya. Vaviri ava vanoti Dick Farrel na Phil Valentine.

Zvakaoma kubvuma kunyengerwa. Wozopepuka zvaipisisa.

Dick Farrei akadaidza Dr Fauci, chiremba anozivikanwa munhau dzemavhakisini, kuti “murevi wenhema” nekuti Dr Fauci vaitsigira vhakisini zvakasimba.

Farrel, akafa musi wa 4 Nyamavhuvhu 2021, akashandura pfungwa dzake, shamwari yake Amy Leigh Hair akazoudza bepanhau reWashington.

Paakarwara zvakanyanya, akandinyorera parunhare akati: “Hutachiwana uhu hausi hwekutamba nahwo. Baiwai,” ndozvakatauwa naHair.

“Akabvuma kuti akanga asina kuzvikoshesa. Pakupera kwezuva, akanga achizvidemba.”

Vaipikisa vhakisini havana kushambadza kuti Farrel aive ashandura pfungwa dzake asi zvinhu zvaive zvatoipa.

Mushamarari wepawairesi Phil Valentine uyo pakupedzisira, paakaziva kuti akufa, akadembawo kuti dai akabaiwa vhakisini.

Kunyengerwa kusvika pakukandira hupenyu hwako muna taisireva kuti upikise jekiseni zvinoratidza hurema.

Bob Enyart, pasita wekereke yeDenver Bible akataura nhema dzekuti Pfizer inoshandisa masero emimba dzakabviswa. “vaurayi vevana”.

Iri ndiro danho raitevera rehupikisi. Vachiparidza nhau dzekupomera dzenhema dzakabvumiwa nevamwe vanhu. Izvi zvinoreva kuti kwaive kurangana kwenhema.

Vhakisini rePfizer rinoudza masero emumuviri memunhu kuti ogadzira sei purotini rakafanana nepurotini reCOVID-19. Masero anobva auraya sipaiki purotini idzva rinenge ragadzirwa (risingagoni kukuvadza munhu) asi rinorangarira kugadzira masoja emuviri anouraya sipaiki purotini rehutachiwana. Kana munhu akabatwa neCovid-19, munhu anokasika kugadzira masoja emuviri akafanira kuti auraye COVID-19 nemapurotini ayo. Izvi zvinomisa kurwara muvanhu vazhinji. Kana munhu akarwara, simba remasero rekurangarira nekuita masoja emuviri nekukasika, rinoita kuti munhu asanyanye kurwara. Ndicho chikonzero nei munzvimbo dzinochengetwa varwarisa muchipatara munenge muine vaya vasina kubaiwa chete nekuti zvinotora nguva kuti miviri yavo idzidze kugadzira masoja anorwisa hutachiwana. Apo miviri yavo inoedza kudzidza, hutachiwana hunobva hwabata zvakanyanya mumiviri yavo vorwarawo zvakanyanya.

Pfizer inoshandisa masero anobva pakubvisa mimba kwegore 1972 muNetherlands (inonzi sero raini) kuti vaone kuti sero raini iri rinogona here kutora kurairwa kwarinoitwa kuti rivake sipaiki purotini, kubva kuvhakisini.

Asi masero ezvibereko zvevanhu haana kushandiswa kugadzira vhakisini rakazobuda rePfizer. Akangoshandiswa kuedza vhakisini. Bob Enyart haana kutaura chinhu ichi.

Bob Enyart haanawo kutaura kana kupokana nenhau yekuti vana vaviri vakabva pamimba mbiri dzakabviswa kubva kuSwedeni muna 1962 nekuUK muna 1966 zvichiteverana, vakamboshandiswa munhorondo kugadzira mavhakisini akaneteswa ekudzivirira mhezi dzechibhokisi, rubera, shinguruzi, hepataitisi A, porio nerebhisi. Mavhakisini aya akaponesa mamiriyoni evanhu vairwadziwa. Kunyanya kukuvadza kukuru kwakaitwa neporio nerebhisi kuvanhu.

Marc Bernier akazvidaidza kuti “Mr. Anti Vax” pawairesi kuDaytona Bhichi, akaedza kwazvo kurwisa hutachiwana kwemavhiki akati kuti asati afa muna Nyamavhuvhu 2021.

Veronica Wolski, mumwe muratidziri aipikisa vhakisini uye mumiririri weQanoni akati anoda kurapwa nemushonga wekuuraya makonye weivermekitini, akafa nemarwadzo anokonzerwa neCOVID -19 muchipatara cheChikago, ndizvo zvakataurwa naForbes.

Ivermekitini haina kubvira yagamuchirwa nebazi rezvehutano pasi rese reWHO semushonga unodzivirira COVID-19.

H Scott Apley, nhengo yekomiti yeState Republican uye munhu wekanzuru yeguta Dickinson, Texas, akanyanya kushambadza nhau dzekupikisa kupfeka chivhara chiso (masiki) uye aipokana nekuvhakisinetwa pasoshari medhiya yake, akafa neCovid-19 kutanga kwaNyamavhuvhu 2021.

Sherifi weCororado aive mutevedzeri wake Danieri Trujillo akauraiwa nehutachiwana chinguvana mumashure mekunge aisa mapositi akati kuti aipokana nevhakisini pasoshari medhiya yake.

 

Kutaura kuti vhakisini rinotadzisa vakadzi kuzvara kuita kwezvematongerwo enyika

 

 

Jimmy DeYoung Mukuru, mutepfenyuri wezvechitendero anobva kuTennessee, akati vhakisini raive nzira yekuti vakadzi vasazvare. Akazodemba kuzvisanganisa kwake munezvematongerwo enyika panhau iyi nemazano ake ekunyengera asati afa.

Akabvunza kuti hutachiwana nevhakisini yaive iri nzira yevabati yekuedza kutonga nayo here.

Izvi zvakaita kuti nhau yevhakisini ibviswe munzvimbo dzezvekurapa ipinde munezvematongerwo enyika. Kwaive kukanganisa kukuru.

Vaparidzi muTestamente Itsva havana kubvira vapindira nhau dzematongerwo enyika.

Chitadzo chikuru chehuvhangeri hwemazuva ano ndechekuzvisanganisira munezvematongerwo enyika.

Izvi zvinoitika nekuda kwekusada kusaririra munhau dzesoshari medhiya nedzimwe tsananguro.

MuNguva dzeRima, kereke yeRoman Catholic yakabatanidza zvematongerwo enyika nezvechitendero zvikabereka mutambo werufu waityisa.

Stephen Harmoni, nhengo yekereke huru yeHillsong, akanga ari mupikisi wevhakisini, achiita majee akaipa kwazvo nekuda kwekusabaiwa kwake. Akazofa mumashure memwedzi wese achirwisana zvakaipa nehutachiwana muna 2021. Zvisinei nekurwisana kwaaiita nehutachiwana, Mr. Harmon vakati vaizoramba kubaiwa, vachiti kutenda kwake kwaizomuponesa.

Bhishopu wekuViginia Gerald O. Glenn akafa neCovid-19 apedza kuita musangano wekereke paive pakarambidzwa misangano.

“ndinotenda zvakasimba kuti Mwari akakura kudarika hutachiwana uhu,” Glen akataura izvi muna Kurume musi wa 22 pamusangano wekereke. Asi chakamuuraya.

Marcus Lamb, CEO weDaystar inenge kambani hurusa yezvivhiti vhiti inotefenyura zvechiKristu inosvika kuvanhu vaondarika 2 bhiriyoni, akati vhakisini rinouraya simba remiviri rekurwisa hurwere. Akarapwa neinverkitini, mushonga wemhuka, asi akafa. Akataura zvenhema kuti vanhu vari kufa kana kukanganisika hutano kupfurikidza vhakisini.

Pasi pehutungamiriri hwake, Daystar yakatepfenyura nhau dzaipokana nevhakisini vachiti mavhakisini aishandiswa kubvisa rusununguko kumaKristu.

Muna Chikunguru 2020, nhepfenuro iyi yakaita awa rese ichigunun’una pamusoro “pekunzwisisa” kwevanhu pamusoro pehutachiwana vakapawo awa rese kuna Robert F. Kennedy Jr, aive achiparidza nhau dzakaipa pamusoro pevhakisini reCovid-19.

Mumuenzaniso wechiitiko chakaitwa naLamb, Daystar yakataura mukoti kuti kuziviswa kwevhakisini kwaive “chivi chairwisa Shoko raMwari.”

Hakuna Magwaro akataurwa kuti vaedze kutsanangura kuturikirwa kweMagwaro kusiko uku.

Kutaura uku kunotuka vhakisini rinova rimwe rezviwanikwa zvakakoshesesa zvezviwanikwa zvesainzi. Hakuna muBhaibheri pakanzi tituke rubatsiro rwemishonga inorapa. Mupostora Pauro aifamba naRuka aive chiremba.

Vamwe vatungamiriri veevangeri vane kurudziro huru panyika vakafanana naMarcusi Lamb vakakanganisa kuturikira zvimwe zvikamu zveShoko raMwari zviri pachena. Havatorina kodzero dzekupikisa tsvagurudzo dzezvekurapa.

Vakabatwa muzviitiko zvezvematongerwo enyika zviri maererano nevhakisini, vakataura zvisizvo kuti Bhaibheri rinotsigira mafungiro avo ezvematongerwo enyika anosanganiswa nezvechitendero. Vanofuratira Bhaibheri vachisarudza kuterera vatungamiri vavo vezvematongerwo enyika.

VAROMA 13:1 Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.

VAROMA 13:7 Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kunavanofanira kutererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutya kunavanofanira kutyiwa; kukudza kunavanofanira kukudzwa.

Marcusi Lamb akasanganisirwa muzviitiko zvakadaro muna 2020.

Muna 2020, akakwereteswa mari nechirongwa chehurumende yeUnited States kuti ahorese vashandi vake. Chikwereti ichi chakatorwa nebato raLamb, Daystar, vakapihwa mari inosvika 3.9 miriyoni kuti vaite saizvozvo. Chinguvana mumashure mekugashira kwavakaita mari, ndege inogara vanhu gumi nevana yakatengwa ichitengerwa kereke. Ndege iyi yaikosha mamiriyoni 8 kusvika ku10. Chikwereti chakazodzoserwa kuDaystar, asi izvi zvakamupinza mudambudziko. Zvakazoonekwa kuti ndege yaishandiswa panzendo dzaLamb pachake dzaaiita.

Irvin Baxter aive muvhangeri wepachivhiti-vhiti akafa neCovid-19.

Kutenda zvakasimba kuBhaibheri hakusimbisi kuchengetedzeka sezvo vaparidzi vazhinji vaiti vanotenda vakafa nehutachiwana uhu.

Asi vhakisini rakabatsira vakawanda, vaive nekutenda kushoma kwazvo, kudzivirira rufu rweCOVID-19.

Mavhakisini zvipo zvekuporesa kubva kuna Mwari, saka haafaniri kurambwa.

Patriarch Irinej, mutungamiri wepamusoro wekereke yemaOrthodix muSerbia nemutungamiri wechipiri, Bhishopu Amfilohije, vese vari vaviri vakatarisira pasi huipi hwehutachiwana uhu vasingapfeki mamasiki paruzhinji.

Vese vari vaviri vakafa mugore 2020 mumashure mekubatira COVID-19.

Musi wa17 Nyamavhuvhu, Roger Dale Moon, mufundusi kana kuti pasita weRevelation Fire Ministries muSouth Carolina, akanyora kuti haatyi COVID-19 sezvo “Ropa raJesu richigona kumuchengetedza rinomisa zvirwere zvese kana ndudzi dzehutachiwana dzinoedza kupinda mumweya wangu kana mumuviri wangu”.

Tim Parsons, mufundisi wekereke inonzi Center Point muLexington, Kentucky, akafa musi wa 26 Nyamavhuvhu neCOVID-19 mumashure mekunge kereke yake yanyevera vateveri vayo kuti “vasashusikane” nezvehutachiwana nekuti Mwari “aive pamusoro pazvose”.

MaKristu aya haana kunzwisisa Kuda kwaMwari kuzuva redu ranhasi vakazvitendera kunyengereka.

 

Pasita haasi musoro wekereke

 

 

Mwari anoda kuti hutachiwana hurapike kupfurikidza vhakisini sezvakaitika nechirwere chemhezi, porio, nezvimwe zvirwere zvinouraya. Mapasita mazhinji emakereke vakazvidza Dr Athony Fauci nyanzvi munezvehutachiwana. Izvi zvakaderedza chimiro chekereke mumaziso evanhu vekunze. Mapasita mamwechete iwayo akatsvinyira vaipfeka mamasiki, vakatarisira pasikuipa kwehutachiwana hwakazovauraya.

Mapasita emakereke akafa anosangansirira Dean Kohn wekereke yeDescending Dove Outreach International iri kuCalifornia, Robert Marson weUmpque Valley Community Fellowship muOregon, naRob Skiba wekereke yeVirtual House, kereke iri muTexas asi inonyanya kuitira oniraini.

Vakakanganwa kuti hakuna muTestamente Itsva pakamboiswa pasita kuti atungamirire kereke.

Hakuna muBhaibheri pakambodaidzwa mufudzi kuti pasita kana kuti mufindisi.

ChiNikoraiti itsika inosimudzira munhu mutsvene kuti ave musoro wekereke. Mwari akazvivenga.

ZVAKAZARURWA 2:15 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga.

Vakabva vakudza kukanganisa kwavo nekutsvinyira nekuzvidza kuedza kukuru kunodakadza kwakaitwa nevakagadzira mavhakisini yaive yega nzira yakabvuma kushanda kuderedza hutachiwana yataive tawana kuti hutachiwana husatikurire.

Saka nekunyengereka, vakapinda munzira yakavapinza murufu rwavo nekukasika.

Zvaitendwa nevatungamiri vemakereke ava hazvina kungovasvitsa mundufu dzavo ivo chete asi zvakakonzeresawo ndufu dzevamwe vaive munzvimbo dzavo nevavaibata navo nenhengo dzemakereke avo.

Vamwe vaitenda kuti Mwari aisazotendera kuti varware.

Saka, havana kubvira vanzwisisa Kuda kwaMwari.

Zvinosuwisa, nekuramba mishonga vakafa, vanhu vakabva vatanga kuvaona semaprofita enhema.

Vakaita kuti kereke iite sedambe.

Vakawanda vakapinda muzvipatara nekuda kwehurwere hwaive nezviratidzo zveCOVID-19, vakatenda kuti masoja eminamato achavaporesa asi vachitadza kuvimba uye vachiramba mishonga inochengetedza hupenyu kubva kumadhokotera nemanesi.

Ndufu dzavo dzakaratidza pachena kuti havana zivo kubva kuna Mwari nekuti vakafuratira vhakisini.

Sainzi dzekurapa chipo chinobva kuna Mwari marema chete ndiwo anozvidza kana kuramba.

Kutenda kwakaiswa pasiripo pavatungamiri vezvitedero vakaresva kufunga nekurangarira zvakangoipa kwazvo sekuipa kwazvaive zvakaita munguva dzakadarika nenzvimbo dzakare uko vatungamiri vezvitendero vaikurudzira hondo, nekuparadzwa kwevapikisi vavo.

Vatungamiri vezvitendero vatoriwo vanhu venyama vanotadza vakafanana nesu. Vanozadzwa zviri nyore nekuturikira Bhaibheri zvemusoro wavo.

Makereke anofanira kutungamirirwa neboka revakuru, kwete pasita. Boka revakuru rinogona kutsiurana.

Pasita anotungamirira kereke angori mudzvanyiriri asingatodiwi naMwari.

ChiKristu nezvematongerwo enyika hazvifaniri kusanganiswa.

Mavhakisini ekurapa anosanganisira hupenyu nerufu anofanira kuongororwa nenyanzvi dzesainzi.

Kereke haina kufanira kutaura chinhu panhau dzakadaro. Vaparidzi vazhinji kwazvo vanoti vane kutenda kukuru kwazvo, vakapikisa vhakisini, vakafa.

 

Vasikana vakachengenjera vega ndivo vanonzwisisa zvakavanzika

 

 

Nhasi maKristu akaponeswa vanoenzaniswa nevasikana gumi, mhandara dzakachena.

Vamwe vakachenjera uye vanoziva zviri kuitika. Vamwe mapenzi kana kuti vakanyengerwa netsananguro dzakagadzirwa nevanhu.

MATEO 25:1 Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba.

2 Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.

3 Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.

Kushaiwa mafuta zvinoreva kuti mwenje yavo haigoni kuvapa chiedza zvekuti vaisagona kuona saka havaizogona kunzwisisa Bhaibheri zvakanaka.

DANIERI 12:10 Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.

MaKristu vanoda kutevera Mwagwaro zvakazara vacharambwa nekutsvinyirwa. Vanhu vanoita zvakaipa vachatonga asi havasi kuzonzwisisa Kuda kwaMwari uye Shoko raMwari vachatenda muzviitiko zvavanenge vachisangana nazvo panguva iyoyo.

Mwenga wechokwadi ega, vasikana vakachenjera, ndivo vachatsigira zvavanotenda neShoko rakanyorwa remapostora ekereke yekutanga.

Asi kune mutsetse mumwechete unotsanangura vasikana vanegumi vanomiririra maKirstu akaponeswa mumakereke Ishe vasati vauya.

Vese vakavata vakakotsira.

MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.

Saka, makereke anhasi anoziva here zviri kuitkika? Kwete. Vakavata. Vamwe vakapfuhwirwa muhunyengeri hwezvematongerwo enyika.

Paakabvunzwa nezvenguva yekupedzisira, Jesu akaisa kukosha padambudziko guru rinova kunyengerwa.

MATEO 24:4 Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.

5 Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata

“Kristu” zvinoreva kuti akazodzwa. Vaparidzi vakazodzwa nesimba reMweya asi vachiparidza zvakaipa.

MATEO 7:21 Havazi vose vanoti kwandiri Ishe, Ishe vachapinda muvushe hwokudenga. Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?

Kuita hushumiri hune simba hazvivamisi kuti vasanyengerwe netsika dzemakereke nekuratidzira kwezvematongerwo enyika. Zvakare kune mubairo wekubhadharwa kuti munhu aparidze.

MATEO 7:23 Zvino ndichavavudza pachena handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri imi vaiti vokusarurama.

Kutadza nebwoni kuziva kuti zvakaipa asi wongozviita zvakadaro.

I TIMOTIO 2:11 Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose.

12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.

Testamente Itsva haina kubvira yatendera vaparidzi vechikadzi. Hakuna mukadzi anotenderwa kutora simba rezvemweya pamusoro pevarume nekutsanangura Magwaro kuvarume.

Vakadzi vaviri vakaturikira Shoko raMwari muBhaibheri vakariturikira zvisirizvo vakaipisa zvinhu.

Eva akanyengerwa akatenda kubereka kwaireva kuti aite bonde. Adamu akaziva kuti kusangana pabonde kwaive kwakaipa asi akabatana naye kuita chivi kuti Mwari vasamuuraye nekuti aive aita mimba.

Eva akanga atove memimba Mwari paakamuranga.

Tarirai kuti Mwari haana kubvira ataura kuti “Nekuti”. Nekuti aiziva kuti Eva aive anyengerwa kwazvo, sevanopikisa vhakisini, zvekuti aive asina ruzivo rwekuti aive aita chii chakaipa.

GENESISI 3:16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mi­mba kwako,

I TIMOTIO 2:14 NaAdamu haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika;

Mwari aida kuti Mukadzi abereke Mwana iye ari mhandara kuti Jesu akure adaidze vatsvene vake kubva muguruva renyika vaine hupenyu husingagumi mavari. Asi mukadzi akaenda nenzira yake ega akatevedzera nzira yemhuka yekubereka nayo. Totenda Eva, tese takaberekerwa muzvivi kupfurikidza kusangana pabonde. Asi hupenyu husingagumi haugoni kuuya nekusangana pabonde. Hakuna chivi chine mubairo wakakura kudarika chakaitwa naEva, sezvo chakarwadzisa nesu tese.

Sarai akanyengerwa akafunga kuti murume wake aikwanisa chete kubereka mwana wechipikiwa nemuranda wake Hagai. Uku kwaive kuzvipira kukuru kwaSarai sezvo akaturikira Shoko raMwari kuzviitiko zvehupenyu hwake akakonzeresa dambudziko guru.

Mwanakomana Ishmaeri akaita vaArabu vavengi vevaJuda vakuru. Mugore 1974 maArabu akakwidza mutengo wemafuta eoyiri nekuti Israeri yaive yakurira hondo yemaArabu yegore 1973. Kudonha kwemari kwakakonzera vanhu vanosvika 10 miriyoni kuti vafe nenzara muAfrica nemuAsia. Nyika dzakapinda muzvikwereti zvichiripo nanhasi.

Sarai akafunga kuti aiziva kuti oturikira sei Shoko raMwari pamusoro pechivimbiso chaMwari kuna Abrahama pamwanakomana wake Isaka. Akaita chitadzo chikuru matambudziko acho achiri nesu nhasi.

 

Hutachiwana hwakakwidza hudzvanyiriri nezvikwereti zvenyika

 

 

hutachiwana hweCovid-19 hwakakwidza zvikwereti zvenyika zhinji. Chikwereti cheAmerica chakakura kubva pa$20 bhiriyoni kusvika pa$30 bhiriyoni.

MATEO 24:7 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi novushe hwuchamukira vushe nenzara dzichavapo, nehosha nokudengenyika kwenyika kunzvimbo zhinji.

Mutsetse unoperera pahosha dzakafanana neCOVID-19 zvichateverwa nekudengenyeka kwenyika. Kana kudengenyeka kwenyika kukakuvadza mabhizimisi edu hudzvanyiriri hunobva hwapindira.

Takaona Hondo Dzepasi Rese mbiri. Hondo yePasi Rese yekutanga yakamanikidza hurumende kutonga nyika dzavo nehudzvanyiriri. Izvi zvakasunungura mweya waantikristu wakaona kusimuka kwaLenini naStalini muRussia, Mussolini muItaly, naHitira kuGermany. Vadzvanyiriri vezvematongerwo enyika ava vakasunungura madhimoni ekuuraya maJuda, kunyanya horokasiti apo Hitira akauraya maJuda 6 miriyoni, muHondo yepasi rese yechipiri madhimoni aya akapinda mukereke kuti ipofomadze vanhu kuti vasaone zvakavanzika zvakaziviswa mumharidzo dzehama Branham muna 1947 – 1965.

Mweya wehudzvanyiriri wemufundisi kana pasita mumwechete achitonga kereke wakabva wasimbiswa.

Kukanganisa kwapasita paBhaibheri nekusukurudza pfungwa dzemasangano kunoitwa nemapasita kunoita kuti vanhu vari mumasangano vaziye nenzara yekudzidza chokwadi cheBhaibheri chakaziviswa. Nzara yemweya yakatsvaira makereke.

Nzara inogadzirwa nevanhu muUkraine, Russia, nemuChina yakaita kuti ruzhinji ruziye nenzara rufe.

Hosha imwechete yaive dzihwa rekuSpain regore 1918-1919 rakauraya vanhu 50 miriyoni.

Chimwe chirwere ndiyo COVID-19 yakatsvaira pasi rese mumashure mekutangira kuChina muna 2020.

COVID-19 yakawedzera zvikwereti zvenyika dzakawanda ikamanikidza vatungamiri venyika dzakasununguka kuti vashandise hudzvanyiriri senzira imwechete yekuderedza kupararira kwehutachiwana vakashandisa nzira yekuvhara zvinhu zvese nekuzobaya vanhu vhakisini.

Panobva pauya nyaya inosuwisa. Kupokana kunoita vanhu nevhakisini, ndiko kuwedzerawo kwehudzvanyiriri hwevabati kuti vachengetedze vanhu kupfurikidza kumanikidzira vhakisini. Vhakisini ndiyo yega nzira yekuchengetedzeka kwedu.

Saka vanopokana nevhakisini vari kudzidzisa vabati venyika dzedu kushandisa hudzvanyiriri.

Kusimuka kwesimba rehudzvanyiriri ndiko kuratidzirwa kwemweya waantikristu.

Ndiko kufanoratidzirwa kwepachatonga Pope waantikristu pasi rese ari Mudzvanyiriri.

Makereke mazhinji, akagara, akanga asingafari nenzira dzehudzvanyiriri dzaishandiswa nevabati venyika. Asi vakanyengerwa vakazvisanganisira munezvematongerwo enyika vakapokana nevhakisini. Ichi chaive chikonzero chakaipa kwazvo.

Asi ndicho chiratidzo chenguva.

Zvikwereti zviri kukura zvinosvika pakuisira vanhu muganhu panhau dzerusununguko.

Zvakare, kereke iri kunyengerwa kuti iratidzire ichipokana nekuipa kwevhakisini.

Asi, nekufamba kwenguva vhakisini rakaratidza kuti rinoshanda kudzivirira hutachiwana uye vhakisini harisi kuzoita kuti vakadzi vatadze kuzvara kana kukonzera ndufu zhinji kana kuti kukonzeresa kuneta kwemasoja emuviri. Uyezve vhakisini harisi kuzoderedza huwandu hwevanhu panyika.

Saka makereke, nekuparidza nhau dzenhema, vacharasikirwa nechiremerera chavo mumaziso evanhu panyika.

Vanopikisa vhakisini vachaiswa kumbiri yemaprofita enhema.

Ipapo munhu chaiye wezvivi anobva atora zvechisimba chigaro apo kudengenyeka kwenyika kunenge kwanetesa misika yedu yemari zvokonzeresa nguva yeKutambudzika kukuru.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23