VaHeberu 7 Merkisedeki kuratidzirwa kwaJesu
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Vaparidzi vanhasi vanosimudzirwa nekuzvikudza nemari. Jesu akasimudzirwa nekutamb udzika nekuzviita chibairo pamuchinjiko.
- Tinofanira kukurira hondo yatinayo nezvivi nekusatenda
- Mazano akaipa akapinda mukereke
- Merkisedeki haana kuzvarwa kana kufa
- Kefasi akabvarura nguwo dzake kugumisa chiprista chaAroni
- Kudengenyeka kwenyika kwakazivisa kumuka kuvakafa kwemaJuda
- Revi akapa chegumi achiri muna baba vasekuru vake
- Nyasha kuzadziswa kwemurairo pamweya
- Merkisedeki aive Muprista asi achibva kurudzi rwehumambo
- Murairo hauna kubvira wagona kutiita vanhu vari nani
- Vatungamiri vemakereke vakasimudzirwa vane zvakawanda zvavanotadza
Tinofanira kukurira hondo yatinayo nezvivi nekusatenda
VAHEBERU 7:1 Nokuti Merkizedeki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAburahama achidzoka kubva kunouraya madzimambo, ndokumuropafadza,
Merkisedeki (muchigiriki) ndiye Merkizedeki (muchiHeberu) munhu akavanzika ari
muTestamente Yekare.
Akasangana naAbrahama ari muPrista. Abrahama aifanira kutanga akurira hondo nevavengi vake madzimambo vaive vatapa Roti aive muzukuru waAbrahama.
Tinodzidza chidzidzo kuva kuna Mwari. Anotipa mubairo kana tikakurira hondo nezvivi. Muvengi muTestamente Yekare micherechedzo inomiririra zvivi nekusatenda zvinova muvengi wedu wechokwadi muTestamente Itsva.
Mugore 2022 marudzi mazhinji akarumbidza vanhu vekuUkraine nehugamba hwavakaita vachirwisa mauto akasimba akawanda ekuRussia. Vaive vakazvipira kuripira muripo werugare rwavo.
Hondo dzinokurirwa mumoyo yevanhurume nevakadzi.
Ukraine nehondo yakaiwira ichenjedzo kwatiri. Ukraine inoona Russia semuvengi. Tinoona kusatenda muBhaibheri reKing James nehunyengeri hwemitumbi mitatu hwemazano echipegani, kupinda munezvematongerwo enyika, neMari zhinji mumakereke semuvengi wechokwadi. Kana tichida kusununguka kubva kukusatenda nekurudziro yechipegani mukufamba kwedu kwechiKristu tiri kurwa hondo huru yemweya, kwete nevanhu asi nekutenda kuri mumakereke anhasi kusiri muMagwaro kwapararira.
Kune masangano 45,000 akasiyana emakereke nemagungano pasi rese nhasi. Ese akasiyana asi vese vanoti vari pakururama pamberi paMwari. Saka, kune kukanganisa kwakawandisa kuri kutenderera mumakereke. Semutungamiri wenyika aive akaiswa mukusarudzwa muna 2022, kereke imwe neimwe yakasarudzwa iri payo yega “nemafungiro eboka” nemazano ayo. Ukapinda mune imwe kereke munofanirawo kusvikotevedzera zviri kuitwa ikoko. Saka zvamunotenda zvinokurudzirwa nemamiriro enyika, iri njodzi yekuti ikereke ipi iri pedyo nemi. Saka, kune chinhu chisina kuita zvakanaka.
SaPutin, mutungamiri wekereke imwe neimwe anoterera vanhu vanotenderana naye vanotya vese kumupikisa. Saka vanomuudza zvaanoda kunzwa. Zvakakonzera sarudzo yake yakaipa yekurwisa Ukraine.
Mukuita kumwechete uku, vatungamiri vemakereke vanogara nekutenda kwavo kusimo muMagwaro kwakafanana neTiriniti neKisimusi nekuti vakasukurudza pfungwa dzevanhu kuti vatende mumashoko asina kunyorwa muBhaibheri.
VAHEBERU 7:2 Abrahama wakamugovera chegumi chezvese; iye pakutanga ari nekuturikirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremiwo, ndokuti mambo werugare;
Asi mumashure mekukurira kwake, Abrahama akasangana naMwari. Munoripira chegumi chenyu chete (chikamu chimwe muzvikamu gumi) kuna Mwari. Hakuna akaudza Abrahama kuripira chegumi. Asi paakamira pahuvepo hwaMwari akasangana nekuda kwakamukurira kuti adzorere kuna Mwari. Vanhu vasingaripiri chegumi havasati vamira pahuvepo hwaMwari.
Kururama kunosanganisa chokwadi.
Zvino nekuti Jesu anogara Kudenga, chokwadi chimwechete chatiri nacho panyika iBhaibheri reKing James rinotiudza ndangariro dzake nekuti Jesu ndiye Shoko raMwari. Zvamunofunga pamusoro peBhaibheri reKing James ndizvo zvamunofunga pamusoro paJesu.
Vanhu vakatanga “kugadzirisa” Bhaibheri reKing James kuita ikoko hakuna kuzomira zvachose. Mavhezheni matsva nekuturikirwa kutsva kweBhaibheri kuri kuramba kuchioneka zvekuti kwaane maBhaibheri anodarika zana eChirungu. Rimwe dambudziko rinobva pakurasika kubva pane zvinotaurwa neMagwaro nderekuti maKristu nhasi ave kufunga kuti hazvigoni kuwana Bhaibheri rakarurama risina zvakakanganiswa mariri kana risingazvirwisi. Saka havana nheyo dzakasimba dzekutenda kwavo uye vanofara kushandura chero mazwi ari muBhaibheri asingavaitiri. Kunyanya kana maKristu akasarudza kuti ari kugona munezvematongerwo enyika.
Chero musanganiswa wechiKristu nezvematongerwo enyika wakawora.
Saka, kune rugare rushoma kwazvo mukereke kana tasvika pakukurukura chokwadi cheBhaibheri. Kusanganisa mavhezheni akasiyana eBhaibheri anotaura zvakasiyana zvinoreva kuti hakuna kusimbiswa kwemweya yedu.
Mazano akaipa akapinda mukereke
Tarirai zvimwe zvinhu zvezvivi, mazano asimo muMagwaro akatambirwa nekereke.
Makereke akagamuchira shanduko yevanhu vachiva mumhuka ye Big Bang.
Vemaunivhesiti nevadzidzi vanodzidzisa vana kuti takabva kumhuka vonyunyuta zvakare kuti vana vacho vanoita hunhu hwemhuka.
Murairo wekutanga weFizikisi unoti simba harigoni kusikwa. Asi vanorwisa murairo wekutanga nekutaura kuti simba rese rakasikwa muBig Bang. Kana mukarwisa murairo wefizikisi, munenge muchinyepa. Saka Big Bang inobva panhema.
Makereke akasarudza kuti Satani anorarama chete kana muchida kuti ange aripo. Hurema hwakadii.
Zano idzva nhasi nderekuti munhu wese ane chokwadi chake nekuti havagoni kuvimba neBhaibheri ravasisatori seChokwadi chikuru chisingakanganisi.
Makereke mazhinji anoramba kuzvara kwemhamdara nekumuka kwemunhu Jesu kubva kuvakafa.
Vanorambawo kuti Mwari akanyora Bhaibheri chinova chikonzero nei tichigona kushandura Bhaibheri munzvimbo dzakati wandei. Asi makereke akasiyana anoita shanduro munzvimbo dzakasiyana.
Makereke mazhinji akawira mukodzero dzengochani, kuwanana kwevanhu varume nevarume vakadzi nevakadzi, nekutendera vanhu kusarudza kuti vanoda kuita vakadzi here kana varume nezvimwe zvakadaro.
Saka, hakusisina rugare mumoyo yevanhu vachiziva kuti pasi pemoyo chaipo tinoda hwaro hwepamusoro pazvose.
Semuenzaniso, tateguru mukuru wekereke yeOrthodox yeRussia, Kiril, akapomera Ukraine kuti yaive neMweya Yakaipa akapupurira kurwisa kwaPutin kwaakavaita muna 2022. Achiparadza vanhu vasina mhosva nemisha yavo nekuvauraya nenzara kusvikira vazvininipisa kwaari apo Russia yakarwisawo chipatara chevane mimba nevapoteri, hazvina kushungurudza zvinotendwa mazviri naKiril. Kereke payakayananisira kuparadza nekuuraya kwepawantoni kwakarairwa nemudzvanyiriri Putin, rugare mumoyo hamutorina. Kupindira kwemakereke munezvematongerwo enyika kwaive kukanganisa kukuru kwakashandiswa naSatani kunyengera kereke. Zvechitendero nezvematongerwo enyika mutambo wakaipa wekubika rufu.
Testamente Yekare haina kubvira yatendera munhu mumwechete kuti ave mambo uye muPrista. Zvematongerwo enyika nezechitendero hazvifaniri kusanganiswa. Hakuna muparidzi anofanira kukuudzai kuti munovhota sei. Hakuna zvematongerwo enyika zvinokuudzai kuti monamata sei.
Chokwadi nekururama hazvipo. Nyika haichina kufanira kuzvitonga.
Tinoda Merkisedeki saMambo umwechete anokwanisa kuva Muprista Mukuru zvakare.
Ndiyani?
Merkisedeki haana kuzvarwa kana kufa
VAHEBERU 7:3 Asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, anogara ari mupristi nekusingaperi.
Izvi zvinogoneka sei? Haana kuzvarwa uye haana kufa.
“Asina hama” zvinoreva kuti akanga asina madzitateguru kwaakabva vakararama panyika. Asi akada kufanana naJesu, Mwanakomana waMwari.
Akaramba ari Muprista nekusingagumi.
Kutsanangura zvese izvi tinofanira kuona Mwari achinokora ruvoko rweguruva achisika Muviri wemunhu. Mwari vanobva vapinda muMuviri iwoyo usina kuzvarwa nemukadzi saka waive usina mai kana Baba. Nekudaro, aive asina kuyananiswa nechero rudzi rwevanhu vakararama panyika.
Apedza kutaura naAbrahama, Mwari akabuda muMuviri wakabva wangodzokera kuva guruva pakarepo. Paive pasina chikamu chekuwora chakaitika ipapo chinoitika kana munhu afa. Merkisedeki aive asiri Jesu nekuti akazviratidza panzvimbo atori munhu mukuru. Saka aive asina kuberekwa nemhandara saka haana kumboita mwana muduku.
Asi Merkisedeki aive akaita seMwanakomana waMwari nekuti kuzara kwaMwari kwaive maari pamuviri. Sekuzara kwaMwari kwakagara muna Jesu.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri.
Mweya waMwari wakabuda mumuviri waMerkisedeki ukazoonekwazve kumberi wava mumuviri waJesu akafa akamuka ava mumuviri wekubwinya. Mumuviri iwoyo usingawori, Jesu anogarova Muprista Mukuru acharamba ari Muprista Mukuru nekusingaperi. Hakuna umwe munhu anogona kutora nzvimbo yaJesu.
VAHEBERU 7:4 Zvino rangarirai kuti mukuru sei uyu, teteguru Abrahama vaakapawo chegumi chezvakapambiwa.
Merkisedeki aive Mwari vakararama muMuviri wemunhu kwekanguvana. Kuzara kwehuMwari, kuchigara mumunhu uyu, kwakaita kuti munhu uyu ave mukuru.
Abrahama akasangana neMunhu anoshamisa uyu pakarepo akada kumupa chipo. Saka, akamupa chegumi zvinoreva kuti chikamu chimwechete muzvikamu gumi zvezvaaive nazvo.
Saka, kana vatadzi vakasangana naMwari anogara mumunhu Jesu, vanoda kumupa chimwe chinhu. Chinhu chikuru chemweya chinoda kupihwa kwaari mweya wakatendeuka. Izvi zvinogadzira hukama hwemweya naJesu apo anobva Muponesi wavo naIshe wavo.
Munhu anenge aponeswa anova aziva kuti akuvimba naMwari pane zvese zvaanoda kurarama munyika ino inoda zvakawanda. Saka vanoripirawo mari kuna Mwari.
Vanodzidza murairo usina kujairika. Kana mukazvibatira mari yese yamunowana iri mapepa pakati pemaoko enyu moedza “kutamanudza” mari iyoyo kuti mugadzirise zvinhu zvenyu, kazhinji inenge isingakwani. Asi kana “mukabvisa” 10% pamari iyoyo muchipa 10% kuna Mwari, pakarepo 90% inenge yasara “inotatamuka” yokwanisa kukwana zvamunoda.
Rwizi rweJorodani runoyerera ruchipinda nekubuda muGungwa reGarirea rwakazara hove mhenyu nekuti gungwa reGarirea rinopinda mvura rorasa mvura. Kana tikapihwa tinofanirawo kudzidza kupa.
Rwizi rweJorodani runoyerera ruchipinda muGungwa Rakafa risingarase mvura. Rinogashira chete hariburitse. Saka rakafa harina hove dzinorarama mariri nekuti rine munyu wakawandisa.
Kubhandara chegumi kunoatsira kuti tipe zvinotiita vanhu vari nani. Mushonga wekurapa makaro kupa.
VAHEBERU 7:5 Zvino zvirokwazvo avo vanobva kuvanakomana VaRevi vakagamuchira basa reupristi vane murairo wekutora chegumi kuvanhu zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbrahama;
Revi aive muzukuru waAbrahama. Vanhu vakaberekwa naRevi vaiita mitambo vachichengetedza midziyo iri muTabernakeri nemuTemberi.
VaRevi vakagashira chegumi pachinzvimbo chaMwari sevamiririri vake panyika.
VAHEBERU 7:6 asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kuna Aburahama, akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso.
Merkisedeki haana kubvira ava murudzi rwaRevi.
Akakomborera Abrahama nekumuvimisa Nyika yeChipikirwa iyo Abrahama nemaJuda vanozogara nhaka muMereniyamu makore 1000 eHushe hwerugare.
Kefasi akabvarura nguwo dzake kugumisa chiprista chaAroni
Asi Merkisedeki aive asina chekuita nevaRevi.
Saka Merkisedeki aive akamiririra rudzi rwakasiyana rwechiprista.
KumaJuda Muprista Mukuru wevaRevi aive Aroni muPrista mukuru wekupedzisira aive Kefasi akaputsa murayiro nekubvarura nguwo dzake pakuedzwa kwaJesu. Izvi zvaive zvisingatenderwi.
REVITIKO 21:10 Munhu uri muprista mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake; wakatsaurwa kuti afuke nguwo dzemuprista mukuru, ngaarege kusunungura bvudzi romusoro wake, kana kubvarura nguwo dzake.
Pakuedzwa kwaJesu pamberi pemuprista mukuru Kefasi aive werudzi rwaRevi.
MATEO 26:64 Jesu akati kwaari: Wataura iwe; asi ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya pamakore edenga.
65 Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguvo dzake achiti: Wanyomba; tichiri kudirei zvapupu? Tarirai, ikozvino manzwa kunyomba kwake.
66 Munofungei? Vakapindura vakati: Ane mhosva yerufu.
Kuzvidzwa kwakadii kwekururamisa. Kefasi akaputsa Murairo nekubvarura nguwo dzake zvakagumisa Murairo akabva atongera Jesu rufu nekuti Jesu aive iye oga aivepo aigona kuzadzisa Magwaro ekuuya ari pamakore eKudenga.
Mwari vakabvarura chidzitiro chemuTemberi kuratidza kuti Chiprista chikuru chechiAroni cherudzi rwaRevi chaive chaguma. Chaive chisisina chirevo chemweya machiri.
Merkisedeki aive kuzara kwehuMwari muMunhu. Jesu oga ndiye aikwanisa kuzadzisa chinhu ichocho. Saka, Jesu ega ndiye aikwanisa kuita muPrista mukuru wechiprista chaMerkisedeki munguva nomwe dzemakereke.
Jesu akabva auraiwa pamuchinjiko.
MATEO 27:50 Jesu ndokudanidzirazve nenzwi guru akarega mweya.
Pakafa Jesu chidzitiro cheTembere chakabvaruka nekuti nguwo dzemuPrista Mukuru dzaive dzabvarukawo. Izvi zvakashaisa basa Muprista Mukuru Kefasi zvikagumisa chiPrista chaAroni.
Asi mauto eRoma mana vakaroverera Jesu havana vabvarura nguwo dzaJesu dzaive dzisina musono.
Izvi zvakagadza Jesu kumuita Muprista Mukuru wechiPrista chaMerkisedeki chiPrista cheKudenga.
JOHANE 19:23 Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; Nenguwo yapasi vo; asi nguvo iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro.
24 Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
Mauto mana eRoma akamira akapoteredza Muchinjiko wake.
MATEO 6:10 Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sekudenga.
Kuratidzirwa uku panyika zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza Chigaro chaMwari chehushe Kudenga zvinomira sevarindi.
Merkisedeki akabva Kudenga nechingwa newaini. Chingwa chinogurwa chinotaura rufu. Waini inotaura hupenyu huri murumuko.
Saka, chero vavengi vaMwari, mauto mana eRoma vaimuuraya, vakaguma vazadzisa Kuda kwake nekuva varindi vana vakamuchengetedza. Uye havana vabvarura nguwo dzake.
Panyika varindi vana veRoma vaitevera nzira yedenga yevarindi vana vakapoteredza chigaro chaMwari apo Mwari aive akaturikwa pamuchinjiko.
ISAYA 33:2 JEHOVA Mutinzwire tsitsi, takakumirirai, ivai ruvoko rwavo mangwanani ose, noruponeso rwedu panguva yokutambudzika.
3 Marudzi evanhu akatiza achinzwa mubvumo, imi muchisimuka marudzi akaparadzirwa.
Kudengenyeka kwenyika kwakazivisa kumuka kuvakafa kwemaJuda
MATEO 27:51 Zvino tarira, chidzitiro chetembere chakabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Mwari vakabvarura chidzitiro chemuTemberi kubva kumusoro kusvika pasi. Chiso chenyika chakaitwa nevhu nemabwe. Izvi zvinoparadzanisa vanhu vari pamusoro penyika kubva kune vari kugehena riri pasi pasi penyika. Mabwe akatsemuka kuratidza nzira yaJesu apo Mudzimu Unoera wakaenda kugehena kwaakatakura zvivi zvedu kuti anozvirasira kuna Diaborosi.
Mudzimu Mweya weMunhu akafa.
Jesu aisakwanisa kutiporesa ari Mweya Mutsvene. Aifanira kufa osiya muviri wake kuti ave Mudzimu Unoyera. Gehena rakagadzirirwa midzimu yakazara zvivi. Kutakura zvivi zvedu kwakagonesa Mudzimu Unoyera kupinda mugehena. Diaborosi akarohwa akatorerwa makiyi erufu negehena.
Saka, kudengenyeka kwenyika kukuru kwakaitika vatsvene veTestamente Itsva vasati vamuka kuvakafa.
MATEO 27:52 Makuva akazarurwa; nemitumbi mizhinji yevatsvene vakange varere ikamutswa.
53 Vakati vabuda pamakuva shure kwekumuka kwake vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa kuvazhinji.
Saka tinokwanisa kutarisira kudengenyeka kwenyika kukuru panguva ichamutswa vatsvene veTestamente Itsva.
Chingwa chakagurwa newaini zvakamiririra rufu, kuvigwa nekumuka kuva vapenyu zvakare. Muprista Mukuru werudzi rwaMerkisedeki akaita chinhu chisina Muprista Mukuru akachiita pavaprista vaAroni.
Rufu, kuvigwa nekumuka ndizvo zvaive mucherechedzo chaiwo waMessiasi.
Isungano itsva yatinayo kupfurikidza kutenda muna Jesu, kwete nekuva nhengo yekereke.
VAHEBERU 7:7 Zvino pasina kupikisa kwese, mudiki unoropafadzwa nemukuru.
Murayiro weTestamente yekare waimanikidza maJuda kuteerera mimwe mitemo. Vaizviita nekuti vaifanira kuzviita. Vaiuraya mhuka isina mhosva. Zvivi zvavo zvaipinda mumhuka kushaiwa mhosva kwemhuka kwopinda mavari. Asi hupenyu hwemhuka haugoni kupinda muhupenyu hwemunhu kuti munhu iyeye ave munhu ari nani.
Asi paCalvari, Ropa raJesu rakanatsa zvivi zvedu. Zvivi zvedu zvakarasirwa paAri kururama Kwake kukapinda matiri. Mweya Mutsvene waive hupenyu hwaive muropa wakapinda matiri ukatiita vanhu vari nani vasina rudo rwekuita zvivi. Tinotanga kuteerera Shoko raMwari nekuti tinoda, kwete nekuti tinofanira kuda.
Testamente Itsva inova chinangwa chechokwadi cheTestamente Itsva. Testamente Yekare inowana makomborero ayo kana yazadziswa neTestamente Itsva.
VAHEBERU 7:8 Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo, anopupurirwa kuti mupenyu ndiye anogamuchira.
Mukereke yekutanga, vanhu vaipa chegumi kuvakuru vekereke vanofambisa zvinhu mukereke. Vakuru vaizoronga kuti mari yaizoshandiswa sei.
MABASA 11:29 Uye vadzidzi vakazvipira kuti chero ani paaigona napo, umwe neumwe wavo atume zvinobatsira kuhama dzigere muJudhiya;
MABASA 11:30 Zvavakaitawo, vakatumira kuvakuru neruoko rwaBanabasi naSauro.
Vakuru vaigadzirisa nhau dzemari.
Chegumi hachina kunzi ndechekuvaka bhizimusi rababa mwanakomana nemhuri yavo.
Vakuru vaibata mari vaizofa. Asi kurudziro yekuripira chegumi yaive yekuparidza Shoko raMwari.
Mwari pachake haafi.
Revi akapa chegumi achiri muna baba vasekuru vake
VAHEBERU 7:9 Zvino, kunganzi, kubudikidza naAbrahama Revhiwo anogamuchira zvegumi wakapa zvegumi;
Revi aive chidimbu chaive muchidimbu chaive muchidimbu chaive Jakobo aive muchidimbu chaive Isaka aizoberekwa. Asi Revi, chidimbu chaive muchidimbu akafara apo tateguru vake Abrahama vakapa chegumi vasina kukumbirwa.
VAHEBERU 7:10 Nokuti wakange achiri muchiuno chababa, apo Merikizedheki akamuchingamidza.
Nekuti chimwe chinhu chaive muna Revi chakatenderana nezano raMwari rechegumi, Mwari akatendera Revi kutora chegumi.
Zano raMwari rakakura kwazvo zvekuti aive akagadzira chinzvimbo chako muHushe hwake muchiri mumadzitateguru enyu.
Mwari akatokuumbai zvinoenda mberi muri mumadzisekuru enyu.
Makaumbwa zvakare zvinoenda mberi pamaive mumadzibaba enyu.
Zvino Mwari vari kuedza kukuumbai kuti mukwanirane nezano rake renguva yekupedzisira rinozadzisa Magwaro.
Nyasha kuzadziswa kwemurairo pamweya
VAHEBERU 7:11 Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hwaRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu rwakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei kubva kurudzi rwaMerikizedheki, uye asingaidzwi werudzi rwaAroni?
Chiprista chevaRevi chaive chisina kururama nekuti Muprista Mukuru Kefasi akatyora Murairo.
Saka, muPrista Mukuru mutsva aidiwa aizozadzisa Murairo.
Muprista Mukuru aifanira kugezwa.
EKSODO 40:12 Zvino uswededze Aaroni navanakomana vake kumukova wetente rokusongana, ugovashambidza nemvura.
Jesu haana kubapatidzirwa kuregererwa zvivi nekuti haana kubvira atadza. Asi Muprista Mukuru aifanira kushambidzwa nemuprofita (Johane Mubapatidzi).
EKSODO 40:13 Ipapo ufukidze Aaroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa romuprista.
Jesu ndiye akazodzwa neMweya Mutsvene pawakaburuka ukagara pamusoro pake. Mweya Mutsvene wakamuzodza hauna kubvira wapinda maAri.
JOHANE 1:33 Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza neMweya Mutsvene.
Jesu ndiye akaita chipiriso chakapiswa aizotora zvivi zvedu kuenda nazvo kunaDiaborosi kugehena.
Chipiriso chinopiswa chaifanirwa kushambidzwa. Zvakaitwa naJohane kuna Jesu.
II MAKORONIKE 4:6 Akaitawo midziyo yokusukira ine gumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruboshwe, yokusukira’mo: zvinhu zvezvipiriso zvaipiswa, zvaisukirwa’mo,
Saka Jesu akazadzisa Murayiro nekuukudza achiuisa pachidanho chepamusoro. Izvi zvakashandura Murayiro zvikaupa chirevo cheMweya chakadzama.
ISAYA 42:21 Zvakafadza JEHOVA nokuda kwokururama kwake: Kukudza murairo nokuurumbidza.
Nyama inomiririra dzidziso. Nyama yakachena ine mahwamba akaparadzana kana kuti akapatsanuka (kuita zvidimbu zviviri) inodzeya.
REVITIKO 11:3 Zvose pakati pemhuka zinamahwamba akaparadzana kana zvine tsoka dzakaparadzana, zinodzeya, mungadya.
Dzidziso yakanaka inofanira kufamba muTestamente Yekare zvese neTestamente Itsva. Ndizvo zvinomiririrwa nemahwamba akaparadzana.
Hamufaniri kumanikidzwa kutambira dzidziso.
Munofanira kuita nguva yekudzeya pamunobatanidza mavhesi kubva kuTestamente yekare kana muchinzwisisa kuti dzidziso iyoyo ine gwara rinobva nemuBhaibheri ndipo pamunofanira kutenda mairi.
VAHEBERU 7:12 Nokuti kana vupristi huchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.
Kwaane kuzadziswa kwemweya kwezvinhu zvakawanda zviri muMurayiro.
Semuenzaniso:
NUMERI 19:11 Munhu unobata chitunha chemunhu upi noupi unofanira usina kunaka kwemazuva manomwe.
Dzidziso dzevanhu hadzina kunaka dzinounza rufu rwemweya kukereke kana kumakereke anotenda kudzidziso idzodzo. Ichi chinhu chinozoramba chichibata munguva nomwe dzemakereke. Mapoka nemapato emakereke achanatswa kana vauraiwa nemunhu wezvivi anotonga saPope wekupedzisira mumakore matatu nehafu ekutambudzika anoitika pamagumo enguva nomwe dzemakereke.
NUMERI 19:12 Iye unofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, ogova akanaka nezuva rechinomwe: asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe.
Kunatswa munguva yekereke yechinomwe, munhu anofanira kurasa dzidziso dzakaipa dzese dzakauraya rudo rwekutsvaga chokwadi cheBhaibheri munguva yekereke yechitatu pakanzuru yeNicaea mugore AD 325. Raive izwi risimo muMagwaro rekuti “Tiriniti” rakamanikidzirwa pakereke nemubati Constantine. Kana mukangotenda izwi rimwe risiri muMagwaro, munenge makumanikidzwa kutambira mamwe mazhinji asiri muMagwaro akaita “semaRenti”, “Chishanu chakanaka”, “Muvhuro weIsita”, “Kisimusi”, “25 Zvita”, “Mwari Mwanakomana”, “Mwari Mumwe muVanhu vatatu”, “Mumharidzo nezvimwe zvakadaro.
“Izwi raMwari” harina kubvira rataurwa muTestamente Itsva, asi zvinotendwa fani nevakawanda vanotenda “ku-Mharidzo”. Mazano asimo muMagwaro anotungamirira kune mamwe mazhinji asimo muMagwaro, sehutachiwana hunoberekana.
Mazano akaipa aya ese, nemamwe akawanda, ese anobva pakuti vanhu vanomanikidzwa kugamuchira dzidziso dzisimo muMagwaro dzeTiriniti. Akavaita kuti vafare kuwedzera mamwe mazwi muBhaibheri.
Zvino vakugamuchira mazwi nezvitendero zvisimo muMagwaro vasina kufunga kepiri.
Saka, kana muchida kunatsa zvitendero munguva yekereke yechinomwe munofanira kuva nezaruriro yakachena yehumwari yakashandurwa paKanzuru neNicaea. Munofanira kunatsa kuipisa kwakauya neTiriniti kana nenguva yekereke yechitatu. Jesu Kristu ndiro raive zita raMwari Wamasimbaose Nicaea isati yaitwa.
Kana mukasarasa nguva yekereke yechitatu munenge makatarirwa kuparadzwa munguva yeKutambudzika kukuru pakupera kwenguva yekereke yechinomwe. Pakati pekukanganisa kumwe kwese kwamungaite, hamuzozivi zita raMwari weTiriniti. Hamugoni kuwana zita rimwechete reVanhu vatatu.
Sekuona kwenyu, murairo wenyama unoita seunouya uri munongedzo wemumvuri. Tinobva tawana kushandiswa kwawo kwakadzama munguva nomwe dzemakereke apo Mwari anotungamirira kuchokwadi chenguva yekereke yekutanga.
Pano Mwari anojekesa kuti kukanganisa kwakaipisisa kwakapinda panguva yekereke yechitatu apo kereke yakapinda munezvematongerwo enyika pasi pemubati Constantine. Constantine akapa Pope mari zhinji nemuzinda weLaterani zvakatenga kuvimbika kwaPope nekereke yeRoman Catholic kwaari.
Merkisedeki aive Muprista asi achibva kurudzi rwehumambo
Merkisedeki ndiye ega munhu aikwanisa kuita mabasa ese ekuva Mambo uye Muprista.
VAHEBERU 7:13 Nokuti iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndewerumwe rudzi, rwakange rusina munhu wakashumira paaritari.
Merkisedeki haabvi kune chero rudzi. Revi akabereka rudzi rwevaprista vairindira paaritari. Saka chiprista chitsva cherudzi rwaMerkisedeki chaifanira kuva kune rumwe rudzi rusina kuita mabasa ehuprista.
VAHEBERU 7:14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu wakamuka kuna Juda, rudzi Mosesi rwaasina kumbotaura pamusoro parwo maererano neupristi.
Jesu akabva kurudzi rwaJuda kuti ave Mambo. Saka aive asina chekuita nechiprista chaAaroni chakabva kuna Revi.
VAHEBERU 7:15 Uye zvichiri pachena kwazvo kwazvo, kana kuchimuka umwe mupristi sewakatodzana naMerkisedeki,
Merkisedeki aive kuzara kwaMwari kwakagara paMuviri wemunhu mukuru wakaitwa neguruva.
Haana kuzvarwa kana kufa.
Munhu mumwechete akagona kuberekwa akafanana naMerkisedeki aive Jesu nekuti aivwo nekuzara kwaMwari kuchigara maari.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari [Jesu] pamuviri.
Asi Jesu aive hama yepedyo mudzikinuri kwatiri kudarika Merkisedeki nekuti Jesu akaberekwa nemukadzi akafawo. Asi akaratidza huPrista hwake kusingagumi nekumuka kubva kuvakafa ari mumuviri usingafe kana kuwora.
VAHEBERU 7:16 Asina kuitwa nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nenzira yesimba reupenyu husingaparadziki.
Hakuna murayiro wepanyika pano unobata pana Jesu sezvo Mweya Mutsvene wake uine Hupenyu husingagumi hunogara muMuviri wake wekubwinya.
VAHEBERU 7:17 Nokuti anopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerkisedeki.
Jesu, muMuviri wake wekubwinya, haazofi zvakare. Rudzi rwaMerkisedeki runorarama nekusingaperi.
Murairo hauna kubvira wagona kutiita vanhu vari nani
VAHEBERU 7:18 Nokuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakavapo nekuda kweutera nekusabatsira kwawo;
Murayiro wenyama weMurayiro wemhemberero hauna kubvira waita maJuda vanhu vari nani, zvisinei nekuedza kutevera mitemo nemiganhu yaidiwa naMwari kuti vatevere.
VAHEBERU 7:19 Nokuti murairo hauna kupedzeredza chinhu, asi kutangiswa kwetariro iri nani kwakazviita, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
Murayiro hauna kubvira waruramisa chero munhu pahunhu. Asi Murayiro wakaunza tariro iri nani Jesu paakauya kuzoita chipiriso chedu chakarurama chekuripira zvivi. Kana tikasukwa neRopa chete paCalvari ndipo patinoswedera kuna Mwari.
MaJuda aishuva kuti mabasa avo aive akanaka zvekuti vaizowana ruponeso.
Tine tariro iri nani nekuti tinoziva kuti mabasa aJesu akanaka kwazvo pakutiwanisa ruponeso.
VAHEBERU 7:20 Uye zvaasina kuitwa pasina mhiko,
Mhiko ndiyo yakakosha. Hamugoni kupokana nezvakataurwa pasi pemhiko. Ndicho chokwadi chekupedzisira.
VAHEBERU 7:21 (nokuti ivo vakava vapristi pasina mhiko, asi iye nemhiko, kubudikidza naiye wakati kwaari: Ishe wakapika uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi kubva kurudzi rwaMerkisedeki);
Vaprista veTestamente yekare sevanhu vaikundikana. Kefasi nevamwe maprista ezuva rake vakakundikana.
Asi Mwari akapika kuti Jesu, ari Munhu, haaizokundikana sezvo aive chipiriso chakarurama chekuripira zvivi. Chipiriso chake chaizorarama nekusingaperi chisingagoni kutsiviwa nechimwe chiri nani kupinda iye. Nekuti Jesu ndiye akarurama.
Mwari wakarurama haadembi nekufira zvivi zvedu kwakaitwa naJesu ari munhu.
VAHEBERU 7:22 saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka.
“Rubatso” zvinoreva kuti zvinoreva kuti chinhu chekubatisa. Kuti Jesu aive chibatiso chekuti Testamente Itsva ichazova nani kudarika Testamente Yekare.
VAHEBERU 7:23 Naivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nokuti vakadziviswa kugara nekuda kwerufu.
Chiprista chaAaroni chaive mutsetse wakareba wevaprista nekuti muprista mumwe nemumwe aizofa otsiviwa. Vamwe vaPrista vaive nani kudarika vamwe. Vaprista vemazuva aKefasi vaive vane huwori kwazvo. Vainyanyoda mari kudarika chokwadi. Kuzviunganidzira pfuma kwaireva zvakawanda kwavari kudarika kukosha kwerudzi rwemaJuda.
VAHEBERU 7:24 Asi uyu, nokuti anogara nekusingaperi ane vupristi husingapfuuri.
ASI Jesu zvino anorarama nekusingaperi Kudenga saka acharamba ari Muprista werudzi rwaMerkisedeki. Haashanduki. Anogara akarurama ari chokwadi chikuru. Hakuna anogona kuva nani kumudarika.
VAHEBERU 7:25 Naizvozvo ane simbawo rekuponesa zvakakwana avo vanouya kuna Mwari nemaari, zvaanoraramira kuvareverera nekusingaperi.
MuTestamente Yekare muJuda aienda negwayana rechipiriso kumuprista. Muprista aizoongorora gwaiana iri kwete muJuda. Kana gwayana risina chipomerwa ipapo gwayana raizourawa muJuda oregererwa.
MuTestamente Itsva tina Jesu ari Gwaiana rakarurama.
Hatigoni kururama pazviito zvedu asi tinokwanisa kururama pakutenda kwedu.
Kuti tikwanise kuita izvozvo tinofanira kutenda kuti Jesu ndiye chipiriso Chakarurama chekuripira zvivi.
Asi Jesu ndiye Shoko.
Saka, tinofanira kutenda kuti Bhaibheri reKing James rakarurama. Ndiro Chokwadi Chikuru.
Chese chamunotaura pamusoro peBhaibheri reKing James ndizvo zvamunotaura pamusoro paJesu.
Saka, musafe makazvidza kana kurwisa Bhaibheri reKing James.
Kutenda kwedu kunogona kururama chete kana Bhaibheri ratinotenda mariri rakarurama.
VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neShoko raKristu.
Munogona chete kuwana kutenda zvakanyorwa muMagwaro.
Kana muchitenda kuti Bhaibheri rakakanganiswa kutenda kwenyu kunenge kwakarasika.
VAHEBERU 7:26 Nokuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, asina chakaipa, asina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;
Muprista wedu mukuru akaburuka kuuya pachidanho chedu kuti iye atisimudze kusvika pachidanho chake.
Jesu haana kubvira aita hondo. Akakurira hondo asina waakuvadza. Akakurira nekuzvipira kuita Kuda kwaMwari kwaive kwakanyorwa muMagwaro.
Tinofanira kutevera muenzaniso iwoyo.
Hativimbi nemabasa edu asina kururama asi tinovimba nemabasa Ake akarurama nechokwadi chisingatadzi chakanyorwa naJesu muBhaibheri reKing James.
Tinovimba mukuzadzisa kwake Magwaro kwakarurama.
Zvino tinofanira kuzadzisawo Magwaro anotaura kunguva yekupedzisira.
Tinofanira kuvaka kutenda kwakarurama kusingapokane kuti Bhaibheri reKing James rakarurama uye ichokwadi chisina chipomerwa. Ipapo tinofanira kutenda kuti Kuda kwaMwari kunotigonesa kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri zvinotidzorera kune zvakatendwa nekereke yekutanga pazvaidziziswa nemapostora.
Hazvisi pamusoro pekuita zvinhu zvikuru nhasi. Zviri pamusoro pekutenda chokwadi chekutanga chinobva muTestamente Itsva.
Vatungamiri vemakereke vakasimudzirwa vane zvakawanda zvavanotadza
VAHEBERU 7:27 asingafaniri zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru, kubaira chibairo pakutanga pamusoro pezvivi zvake pachake, pashure zvevanhu; nokuti wakaita izvozvi kamwe chete, paakazvibaira iye.
Chiprista chaAroni cheTestamente Yekare uko vanhu vanotadza vaisimudzirwa kumira pakati paMwari nevanhu. Asi, sevanhu venyama vaitadza mazuva ese. Ivo, sevanhu venyama vaitungamirira, vaive vasina kururama vachivimba nekugaropira vachishandisa mhuka dzisina mhosva kuripira zvivi. Vatungamiri vakasimudzirwa ivo pachavo vaive vasina kururama.
Vanhu vanotungamirira, kana vari pachigaro, vanokasika kuda simba nemari.
Vatungamiri vari vaprista vakasimudzirwa vaida simba rekutora mari dzevanhu. Hazvina kubvira zvashanduka.
Nhasi makereke anoedza kugadzira chiprista chechiAroni chemabasa mashanu chevaparidzi vakasimudzirwa pakati paMwari nekereke.
“Pasita ndiye musoro wekereke” ndizvo zvavanotaura asi zvisimo muMagwaro.
“Chegumi ndechapasita” ndiko kumwe kutaura kwavo kusimo muMagwaro.
KUONGORORWA KWENGUVA- BHUKU- RENGUVA- DZEMAKEREKE CHITSAUKO. 10
Zvino ongororai dzidziso yaBaramu zvakanaka. Tarirai pamusoro pazvose, kuti kufamba kwakarongwa kwehutungamiriri kuti hupofomadze vanhu kwavari, nekutungamirira vanhu vachipinda muchivi chekusatenda vachiziva. Dzidziso dzevaNikoraiti dzaive dzekuwodza sangano apo vaitsvaga simba rezvematongerwo enyika pakati pavo,
Apo tsika dzavanotevera Baramu dzakasvika kuvanhu dzikapinda mukuita kwavo kwezviera era nekunamata kuti vadzibate.
53-0614 KURWIRA KUTENDA KWAKAMBOPIWA KUVATSVENE
Vakuru (maeredha) ndivo musoro wekereke, kereke dzese.
Kereke imwe neimwe panzvimbo inofanira kutongwa nevakuru vepanzvimbo vakaenzana vose.
57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHECHITANHATU. 1
Ndiratidzei neBhaibheri kuti chikuru chii, muBhaibheri, kudarika mukuru wekereke panzvimbo? Ndizvozvo chaizvo, hongu, baba, rusununguko rwekereke, kereke imwe neimwe yakazvimiririra.
Asi Jesu akabva pakubairwa kwemhuka dzisina mhoswa nekuzvipira sechibairo chekuripira zvivi zvedu. Aive chipiriso chakarurama.
Kuzvipira sechibairo nekutaririra vamwe zvinofanira kuva chinangwa chedu.
VAHEBERU 7:28 Nokuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru, vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakakwana nekusingaperi.
Kuneta kwekereke yedu yanhasi ndekwekuti vanotongwa nemasimba emunhu mumwechete anotungamirira kereke asi iye akarasika ane zvinangwa zvakavanzwa nekushaiwa zivo pamusoro peBhaibheri kukuru. Vanobva varwa zvine simba kuti vachengetedze simba ravo nemari dzavo.
Asi Jesu akarehwa kasingagumi kuti chipiriso chakarurama, Muprista Mambo wekupedzisira.
Chero chaanoda kuti titende machiri akachinyora muBhaibheri reKing James.