VAHEBERU 1:1 kuti Nguva dzakare Zvinorevei?



First published on the 30th of January 2021 — Last updated on the 30th of January 2021

Kare zvinorevei kuna vaHeberu 1:1?

 

VAHEBERU 1:1 Mwari wakataura kare kunamadzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, vuye nemitovo mizhinji,

Nguva dzakare zvinoreva kuti Kwaive nenguva munguva dzakadarika apo Mwari akashanda nemaJuda nenzira yekuti waive mumvuri wenzira yenguva nomwe dzemakereke dzaive munguva inouya.

VAEFESO 3:4 Kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;

:5 Zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vaapostora vatsvene, navaporofita zvino muMweya;

Idzi dzaive nguva nomwe dzaiveko kare apo Mwari aishanda nemaJuda.

VAEFESO 3:6 Kuti Vahedheni vave vadyi venhaka pamwe chete nesu, nomuviri mumwe nesu vagovani vechipikirwa chake pamwe chete nesu muna Kristu neEvangeri

Sekubata kwakaita Mwari nemaJuda munguva dzakadarika, aizobatawo nevaHedeni munguva dzaizouya. Mwari aizovatungamirira munguva nomwe dzemakereke.

VAEFESO 2:7 Kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;

Tarisai zviri pavhesi 7. Gwara rinoratidza kuti kune nguva nomwe dzichauya kukereke yevaHedeni.

Jesu ega ndiye aikwanisa kushandura nhorondo kuti zviitiko zveTestamente Yekare zvive mucherechedzo wenguva nomwe dzemakereke eTestamente Itsva akafanotsanangurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 2 ne3.

Zita raJesu harina kubvira rataurwa muTestamente Yekare. Zita rekuti Jehova harina kubvira rataurwa muTestamente Itsva.

Izvi zvinofanira kuva chapupu chekuti Jehova (kunyorwa kwacho chaiko ndekwekuti JHVH kana kuti YHWH nekuti bhii ra J rakazopinda muchirungu makore anana 1500) weTestamente Yekare ndiye Jesu weTestamente Itsva. Mwari umwechete ari pamusoro pemaJuda nekereke, achishandisa nzira imwechete.

Mwari akarumbidza nguva yekereke yekutanga yeEfeso nekuti dzakagadzwa nemurongo nemapostora nevakuru vemakereke yepanzvimbo vaifambisa zvinhu mukereke imwe neimwe. Kereke yekutanga iyi yakavenga pfungwa yekuti munhu aasimudzirwe kuva musoro wekereke panzvimbo.

Vanhu vatsvene vachitonga ungano kana kuti boka. Mumazuva iwayo, aidaidzwa kuti Bhishopu. Nhasi ari kudaidzwa kuti pasita kana kuti mufundisi.

ZVAKAZARURWA 2:6 Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.

VaNikoraiti vaive vanhu vatsvene vakapamba kereke kupfurikidza kuibvisa paMagwaro nenzira dzakasiyana.

Zvino pedyo nekumagumo kwenguva yekereke yekupedzisira (makore akapoteredza 170 AD), vanoenda kumakereke vakarasa rudo rwavo rwekutanga rwavaive narwo neMagwaro vakatanga kuterera vanhu vaivatungamirira nemafungiro avo.

ZVAKAZARURWA 2:4 Asi handifari nechinhu icho kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.

Ngatitarisei nguva yekutanga kuvaJuda.

Kubva ipapo akava mawere kuteremuka vachipinda muNguva yeRima. Kusatenda kwakaramba kuchipararira sechirwere chinotapuriranwa.

Abrahama muprofita wekutanga kumaJuda kana kuti kuvaHeberu, aive munhu mukuru kwazvo aive nekutenda kwakakura. Asi akasiya rudo rwake rwekutanga, Sara, achitora Hagai mukadzi muEgipita. Izvi zvakabereka Ishmaeri nerudzi rwake rwemaArabu. Izvozvi tane hondo yemaArabu nemaJuda. Saka, kwaive kukanganisa kwakaipa kwakaitwa naAbrahama.

Efeso, nguva yekereke yekutanga kubva mugore AD 33 kusvika kunana AD 170.

Nguva yekereke yekutanga yakapera senturi rechipiri rakunopera (makore akapoteredza AD 170) apo dudziro yechirairo (chirayiro chechingwa newaini) chakashandurwa kubva pakuva matendo ekurangarira kufa kwaKristu kunoita “chidyo cheruponeso”. Kudya chingwa (kana mutumbi sekudaidzwa kwachaiitwa) ndiko kwaikuponesa. Paive pasisina kukosha kwekutendeuka kuti munhu aponeswe nekubapatidzwa kana munhu akukwanisa kuzvisarudzira akura. Vana vakatanga kumwayiwa mvura. “Rubapatidzo” urwu rwevana vaduku nekudya chirayiro “chingwa” ndizvo zvakatanga kunzi zvinoponesa munhu.

Pachinzvimbo chekuti ruve rutondedzo rweruponeso, chingwa newaini zvakava nzira yaiwanikwa nayo ruponeso mumuKristu.

Saka nguva itsva yekereke yakatanga ichikoshesa izvi “mabasa eruponeso” nekukosha kwaBhishopu nemaprista vaiti vane simba rekuita kuti chingwa chive muviri waKristu Ishe wedu. Ivo vega ndivo vaikwanisa kuita mutambo. Vakuru vekereke panzvimbo vaive vasisina simba.

Nerudo rwekurwira kereke yemaKristu kuti ive pamurawo kubva kuvapikisi, mamwe madzibaba emakereke akaita saIrenaeus akakoshesa kukosha kwekereke senzira imwechete inowanikwa nayo ruponeso.

Kereke nevakuru vemakereke vakatanga kukosha kudarika Bhaibheri pacharo.

Nhasi tine dambudziko rimwechete iri. Kune masangano emakereke anodarika 45,ooo akasiyana-siyana.

Saka maKristu anosimudzira vatungamiri vavo vakasiyana-siyana vobva vabatira pamitemo nemafungiro ekereke yavo yavakasarudza netsika dzayo. Vanosvora Bhaibheri vachiti rine zvakakanganiswa mariri asi havaedze kana nepadiki kusvora kereke dzavo kana vatungamiri vadzo. Kutevera munhu nekuita nhengo yekereke ndizvo zvava nheyo dzekuchengetedzeka kwavo pamweya. Zvisinei nemafungiro akawandisa akasiyana ari kutenderera mumakereke, munhu mumwe nemumwe anoenda kukereke ane chokwadi chekuti kereke yake ndiyo yakanaka ine chokwadi.

Kereke imwe neimwe panzvimbo ine munhu anoitungamirira anoti ndiye musoro wayo. Nhandare yaive yateiwa kuti munhu mumwechete ave musoro wemakereke. Munhu uyu aiita zvematongerwo enyika, mubati weRoma Constantine.

Mwari akachengetedza nguva yekereke yechipiri kutiisarasike kuenda kure nechokwadi cheBhaibheri kupfurikidza kuita kuti vabati veRoma varwadzise nekuuraya nekusunga maKristu. Kuoma kwezvinhu kunobata basa guru pakuita kuti maKristu agare pedyo naMwari.

Kereke yakarwadziswa haina kuzvidzwa naMwari.

Smyrna, nguva yekereke yechipiri (AD 170 – 313) yakasangana nekurwadziswa kukuru muRoma. Kwaive kwakaipisisa kwaive kurwadziswa kwemakore gumi 303-313 kwakatangwa naDiocetian.

ZVAKAZARURWA 2:10 Muchatambudzika mazuva anegumi.

Zuva mucherechedzo wegore muchiprofita.

Achitaura pamusoro pemwanasikana wake mudiki Rakeri, Rabani akati kuna Jakobo:

GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."

ZVAKAZARURWA 2:10 Usatya izvo zvauchatambudzika na zvo. Tarira, Dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muidzwe; muchatambudzika mazuva anegumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yovupenyu.

[Mumazuva edu, mumishinari wechiKristu Andrew Brunson akasungwa muguta Izmir, raimbodaidzwa kuti Smyrna, pasina mhaka. Kusvika mutungamiri wenyika Trump aisa zvirango zvehupfumi pasimbi dzeTurkey. Zvino, mutungamiri wenyika yeTurkey Erdogan akabva asunungura Andrew nekukasika].

Asi hapana kuzvidzwa kwakarehwa muBhaibheri pamusoro pemaKristu emuSmyrna aya. Josefa, muprofita wenguva yechipiri kumaJuda akatengeswa muhuranda akasungwa asina mhaka.

Akatambudzika, asi haana kuzvidzwa muBhaibheri. Aive nekupupura kwakanaka.

Kubva pane izvi, tinodzidza kuti kusangana nenguva dzakaoma zvinoitira maKristu zvakanaka kwazvo.

Nguva yekereke yechitatu payakatanga nemunhu wezvematongerwo enyika, mubati weRoma Constantine, achibata kereke kubva muna AD 313, vatungamiri vekereke vakashandura Bhaibheri muma AD 325 pakanzuru yeNicaea. Vakazivisa Tiriniti nekutaura kwayo kwese kusimo muMagwaro kwekuzara kwehuMwari. Vakaramba kuti Jesu Kristu ndiShe Mwari Samasimbaose. Akatanga kudaidzwa nechinzvimbo chisimo muMagwaro chekuti Mwari Mwanakomana. Mwari weTiriniti akava Mwari asimo muMagwaro Mwari-muVanhu -vatatu vasina zita. Hamugoni kuwana Zita rimwechete rekupa vanhu vatatu vachidaidzwa naro nguva imwechete.

Pergamosi, nguva yekereke yechitatu (313- 606). Mubati Constantine vakamisa kurwadziswa kwekereke akapa muzinda weLaterani nehupfumi huzhinji kukereke yeRoma kuti asimudzire kereke. Kereke yeRoma yakatora tsika dzechipegani dzakaita sekuti 25 Zvita izuva rakaberekwa mwari wezuva (sun god) ivo vakazvishandura vakazviita kuti izuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari (sun of God). Kereke yeRoma yakapinda munezvematongerwo enyika kuti ifadze Constantine, aida kuti kereke nemapegani zvibatane. Saka, akasimudzirwa nesimba rezvematongerwo enyika, kereke yeRoma yakabva yatanga kuuraya “vapikisi” vaipikisana nayo. Mugore AD 606 Bhishopu weRoma akaitwa bhishopu wezvese. Izvi zvakatanga kutongwa kwekereke nechiprista chakasimudzirwa nemutungamiriri wepamusoro-soro, Pope kana kuti Pontiff wezvakavanzika zveBabironi.

ZVAKAZARURWA 2:13 Ndinoziva mabasa ako vuye, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.

Chigaro chaSatani.

Zvematongewo enyika nezvitendero zvechipegani zvakaitwa musanganiswa muchiKristu.

Antipas”. (Anti papasi kana kuti anti-pope) akaurairwa kutenda munaShe. Kereke yeRoma yakatanga kuuraya vaiipikisa.

ZVAKAZARURWA 2:14 Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,

“Dzidziso yaBarami”.

Baramu aipikisa Mosesi aive muprofita munguva yechiJuda yechitatu iyi. Mosesi aive nechokwadi chaMwari. Baramu aive nedzidziso dzakaitwa nevanhu dzaiita kunge dzakachenjera asi dzakanangwa pakunoparadzwa nerufu.

ZVAKAZARURWA 2:15 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga ...

“Dzidziso dzavaNikoraiti”. Niko zvinoreva kuti kupamba. Kupamba ungano kupfurikidza kuisa munhu pakutonga kereke. Kubva apa zvichienda mberi kereke imwe neimwe inenge yakutungamirirwa nemunhu anenge ava musoro wayo, muprista. Maprista vanotongwa nemabhishopu, nemaachbishopu, nemakadhinari, nemaPope. (Chinzvimbo chisimo muMagwaro zvachose). Mwari aida makereke maduku maduku akawanda anotungamirirwa nevakuru panzvimbo, kwete kereke hombe dzinokoshesa munhu mumwechete.

Vakaunganidzwa vachizviwisira kuhutungamiriri hwevanhu, sangano kana kuti ungano vaingogamuchira zvitendero zvisiri muMagwaro izvi. Chiedza cheBhaibheri chakafuratirwa chikarambidzwa kuteverwa. Kutenda kuBhaibheri kwakadzima. Zvino munhu mumwechete, Pope, akazviti ndiye musoro wemakereke ese.

Izvi zvakatora nyika zvikanoisiya muNguva yeRima apo Chiedza cheMagwaro chakarambwa.

 

 

Tiyatira, nguva yekereke yechina (AD 6O6 – 1500).

Tiyatira zvinoreva kuti mukadzi anotonga. Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechokwadi ndiyo mwenga waKristu. Kereke yeRoma yakabata Europe zvakasimba.

ZVAKAZARURWA 2:20 Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jezeberi, unozviidza muporofitakadzi, vuye unodzidzisa nokutsaura varanda vangu kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabairwa zvifananidzo.

Kereke yeRoma inodaidzwa kuti “Jezebel”, yaive mukadzi mutorwa muTestamente Yekare.

ZVAKAZARURWA 2:24 Asi kwamuri, imi makasara paTiatira, vose vasine-dzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri: Handingakutakudziyi mumwe mutoro.

“Hudzamu hwaSatani”. Kereke yeRoma yakanyura muhudzamu hwaSatani hwekutadza nekukanganisa muNguva dzeRima.

Nyota yeropa yaive nehutsinye hukuru hwemakurusedha hwaikoshesa kubata chibharo, kuba, nekuuraya. Marwadzo nehutsinye husingatsananguriki hwekushungurudza vanhu. Huwori hwemaPope hwakaita sehweBorgias. Kereke hayaifanira kunyura zvakadzama kudarika apa.

Vashoma kwazvo vakaita semaWaldense kana vaVaudiosi vakatiza vachinopinda mumarenje eAlps vaive vachiri kutenda chokwadi. Vaive nezvidimbu zvezvinyorwa zveBhaibheri zvavakawana kubva kuAntiokia muna AD120, vakabva vazviturikira mururimi rwavanonzwa muna 157 AD kusvika pavakabatana pamutsiridzo yevaipikisa Roma muna 1520 AD.

 

 

Kurusedhi yemakore makumi maviri yakaparadza maAlbigense. Zvaive nyore kuuraya nekubira nzvimbo yevanhu vaive maKristu pachinzvimbo chekuenda rwendo rwekuIsraeri kunouraya maMosiremu.

Muprofita munguva yechina yaJezeberi aive Erija. Kutenda kwaive kwatanga kufa muIsraeri pasi paMambo Ahabu nemukadzi wake akaipa kwazvo, Jezeberi. Mwari akati maJuda 7000 chete ndiwo aive achiri kutenda.

Sardis means "escaped ones". Sardisi, nguva yekereke yechishanu, yakatanga muna 1520 kusvika kunana 1750 pakatanga kusimuka zvemaindasitiri.

Iyi yaive nguva yeMutsiridzo apo Mwari akatanga kudzorera Chokwadi cheBhaibheri. Rumutsiridzo rwaMartin Luther rwakagonesa vaipikisa Roman Catholic kupunyuka kubva kwairi. Luther akaparidza ruponeso kupfurikidza kutenda munaKristu chete. Hakuna mabasa mukereke anogona kutiponesa. Madzibaba ePilgrimi akapunyuka kubva muEurope yaitongwa neRoma, vakabva vaenda kuAmerica. America yakabva yasimuka zvinesimba kuva nheyo dzevapikisi vechiCatholic zvikatipa vanhu vakaita sa Billy Graham, Oral Roberts, naWilliam Branham.

 

 

Asi kuisa pasita kana kuti Mufundisi pakutonga kereke zvakakonzeresa kupatsanurana kusina magumo nekupokana apo zvitendero zvakawanda zveRoman Catholic zvakaramba zviri mumasangano emakereke zvichitowanda nekuberekana. Nhasi kune masangano anodarika 45,000 akasiyana siyana emakereke. Pane chakakanganisika zvakanyanya pahutungamiri hwevanhu mumakereke.

“Mufundisi” (“Pasita”) akataurwa kamwechete chete muTestamente Itsva akatukwa katanhatu kunaJeremia. Saka hakuna simba rinobva muMagwaro rapasita kuti atonge kereke zvachose.

ZVAKAZARURWA 3:1 Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

Vanoenda kumakereke vakazvidaidza kuti vekwaLuther, Anglicans, Catholics, Presbyterians, Calvanists nezvimwe zvakadaro. Mwari akanga aona mazita asimo muMagwaro aya. Vanhu vanogara mukereke vozvitumidza mazita pamakereke pavo vofunga kuti izvi zvinovachengeta ivo vachitamba zvavo mutambo (waforomi foromi aiforomai ridha) wekutevera mukuru wavo nezvitendero zvake zvakaitwa nemunhu kwete naMwari.

Vekereke yekutanga vaingodaidzwa kuti maKristu. Mapostora paakafa, kereke imwe neimwe panzvimbo yakatanga kutongwa nevakuru vepanzvimbo. Makereke maduku akawanda aireva kuti zvaizorema kuti munhu mumwechete akoshe kudarika vamwe. Izvi zvakaita kuti maKristu atarisane naMwari neBhaibheri, kwete munhu kana kuti muparidzi mukuru.

Kusimudzirwa kwemunhu mutsvene pamusoro pevanhu kana sangano kunodaidzwa kuti tsika dzavanikoraiti, dzakavengwa naMwari.

ZVAKAZARURWA 3:4 Asi unamazita mashoma paSardisi avanhu vasina kusvibiswa nguvo dzavo; vachafamba neni vanenguvo chena, nokuti vakafanirwa nazvo.

Ruponeso runouya nenyasha kupfurikidza kutenda. Kwete kuvimba nekereke kana nemuparidzi. Kwete kuvimba nemabasa akanaka.

Asi mapoka evapikisi aikura aivaka masvingo edzidziso kuti vazvipoteredze uye kuzvitsaura.

Kutanga kweRumutsiridzo rwaLuther kwaive kwakaratidzirwa munhorondo yevaIsraeri naEzra, akadzosa mudziyo unokosha muTemberi.

Kukosha kweBhaibheri ndiko kwaive chiwanikwa chaLuther chekuti vakarurama vachararama nekutenda muna Jesu Kristu neShoko rake chete. Kutendeuka, apo tinogamuchira Jesu saMuponesi wedu, ndiyo yega kiyi yekupinda nayo Denga.

 

 

Firadefia, nguva yekereke yechitanhatu (1750 – 1906) zvinoreva kuti rudo pakati pehama munaShe. Nguva yakanaka yechiKristu yaive nguva iyi yemamishinari yehutsvene nekuparidzira. Kuvakwa kwemaindasitiri kwakatanga muna 1750 kwakaunza hupfumi hukuru kwazvo. Zvikepe zvemarasha zvakatakura mamishinari kuenda nawo mhiri kwemakungwa, zvitima zvikavafambisa mukati mematunhu. Shoko raMwari rikaparidzwa.

ZVAKAZARURWA 3:8 ... ndakaisa pamberi pako mukova wakazaruka, ...

Nzvimbo dzemamisheni.

Jesu akaroverwa ndiye mukova wekupinda Denga.

Mamishinari akashinga aya, zvisinei nekuomerwa kwese kwavaisangana nako, vakaendesa Evangeri kuvaHedeni. Hakuna kuzvidzwa kwakaitwa nguva yekereke iyi. Mamishinari, vachiedza kuponesa vanhu, vanogara vari muhurongwa hwaMwari.

Nguva yechitanhatu kuvaJuda yaive nguva yemuprofita Nehemia, akavaka masvingo eJerusarema.

Rudo pakati pehama munaShe, kuyambuka gungwa kunoponesa muHedeni asingazivikanwi, ndiro simba rechiKristu. Hutsvene hunoisa muenzaniso mukuru wesimba rechiKristu.

 

 

Nguva yechinomwe yeRaodikia (1906 -)

Raodikia zvinoreva kuti kodzero dzevanhu. Iyi inguva yedu yatiri kurarama mairi. Tinochemera kodzero toramba mabasa atakatarirwa.

1904 Zvinotanga nerumutsiridzo rwePentekositi mumugwagwa weAzusa muLos Angeles muna 1906 nerumutsiridzo rweWelsh rwegore 1904.

Asi Mwari haana chaanotaura chakanaka pamusoro penguva yedu yekereke yekupedzisira.

ZVAKAZARURWA 3:15 kuti hautonhori kana kupisa. Dai uchitonhora kana kupisa.

:16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.

:17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu;

Mharidzo yedu yekubudirira nemakaro nekuda zvinhu.

Usingazivi”. Takakotsira, hatizivi chimiro chatiri chaicho. Tiri kunyengerwa kuti tirare nevafundisi vedu.

Tinofunga kuti tinoshamisira, asi Mwari anotiona se:

“varombo, vane nhamo tiri varombo pazivo yeBhaibheri uye pamweya hatina zivo, tiri mapofu kune zvinorehwa neBhaibheri, takashama hatina chokufuka.”

Chingotarisai kuti vakadzi vemakereke anhasi vanopfeka sei. [South Africa yakakurira makwikwi epasi rese eragibhi vakapemberera vachimhanya vakapfeka zvemukati chete. Munhu mumwechete akashama akasanganikwa naye naJesu aive benzi. Vaparidzi havachina simba pamberi pedhimoni rekushama rakagara vanhukadzi.]

ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza;

Jesu akarambwa nekereke yake.

Vanoenda kumakereke havana kugamuchira Shoko raMwari rakaziviswa. Rinorambwa nemakereke kana kushandurwa shandurwa nevafundisi vemharidzo vanotsvaga mbiri yavo ivo kuti vanzi vakachenjera.

Muprofita wechinomwe kumaJuda aive muprofita Johane Mubapatidzi. Akazivisa Jesu kumaJuda seMunhu vakamuramba.

Johane paakakanganisa, achifunga kuti Jesu aive asiriye Messiasi, vadzidzi vaJohane vakadzokorora kukanganisa uku. Ndiro raive dambudziko nekuti vaitevera kutaura kwemunhu Johane, pachinzvimbo cheMunhu aive anongedzerwa naJohane, aive Jesu Kristu. Shoko, rakarurama.

Muprofita wenguva yekupedzisira William Branham anogona kukanganisa kwazvo. Tinofanira kutarisisa zvaanotaura tozvipima neMagwaro.

Pavadzidzi vaJesu vekutanga gumi nevaviri, Andreya ndiye ega aive mudzidzi waJohane. Saka kuita mudzidzi waWilliam Branham hahusi humbowo hwekuti uri mudzidzi waJesu, Shoko rakaziviswa.

Mumazuva edu, Mwari akaedza kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro kukereke muhushumiri hwaWilliam Branham, tikaramba zaruriro dzaJesu seShoko raMwari rakaziviswa.

Vadzidzi vakaturikira Testamente yechiGiriki kanodarika ka28 kusvikira maKristu asvika pakuti hakuna Bhaibheri rakarurama. Vakazvidza Bhaibheri serakakanganiswa, rakaturikirwa zvisizvo rakazara kukanganisa, fungidziro uye kuzvirwisa.

Asi Bhaibheri inzira yekufunga kwaMwari. Hamugoni kutsaura munhu kubva kundangariro dzake. Saka zvatinotaura pamusoro peBhaibheri, tinenge tichizvitaura izvozvo pamusoro paJesu.

Nekuti Bhaibheri rinozvidzwa, Jesu amire kunze kwekereke asingadiwe, sekurambwa kwaakaitwa nemaJuda.

Vanoenda kumakereke vanozvidza Bhaibheri reKing James vachiziva havo, ndiro Mukuru wedu asi vanotya kuzvidza vafundisi kana makereke avo. Asi, hakuna chiprofita chakanangana nenguva yekupedzisira kana mufananidzo wakanangana nenguva yekupedzisira unotaura zvinhu zvakanaka nezvayo.

“Munguva dzekare”.

Nzira yakashandiswa naMwari kumaJuda munguva dzavo nomwe ndiyo nzira yaari kungoshandisa pakereke munguva dzayo nomwe.

Ngatisakanganwei kuti maJuda vari kuungana muIsraeri.

MaJuda pavakaramba Jesu Munhu, akabva atendeukira kuvaHedeni.

Isu vaHedeni tinosarudza dzidziso dzekereke netsika dzedu kudarika Bhaibheri, rinova Jesu ari muShoko.

Jesu paanongoona kuti kereke haidi zvakavanzika zveBhaibheri zvinoziviswa munguva yedu, anobva adzokera kumaJuda kunotora maJuda 144 000.

Kereke iri kumuramba inotwasudzwa munguva yeKutambudzika kukuru.

Boka revasikana gumi rinotsanangura kereke yese kuna Mateo Chitsauko 25. vasikana vanhukadzi vasina kuziva varume, vakamiririra vanhu vari mumakereke vakaponeswa.

Vashanu vakangwara, chinhu chakanaka. Vashanu mapenzi, zvinoreva kuti vakaponeswa asi vanonyengerwa nemapasita avo saka vari murima kana takatarisa nhau yekunzwisisa Magwaro. Havana mafuta ekutungidzisa kuti vawane chiedza chakakwana kuti vaone nekunzwisisa Shoko rakanyorwa muBhaibheri. Zvakadaro, havana kugadzirira Kuuya kwaShe vanoguma vapinda munguva yeKutambudzika kukuru.

Asi vese, vakangwara zvese nemapenzi, vaive vakakotsira.

MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.

Zvinosuwisa, tese takavata kana tichitarisa chokwadi chenguva yedu.

Ndicho chikonzero nei hutachiwana hweCOVID -19 hwakabata nekuvharisa makereke ese muna 2020. Maonero anodaidzwa kuti 20-20 anoshandiswa nanachiremba vemaziso kumiririra maonero akanaka.

Saka gore 2020 rinofanira kutipa maonero akanaka mene zvinofungwa naMwari pamusoro pekereke.

Iri ndiro gore rakavharwa makereke naMwari.

Ndizvo zvinofungwa naMwari pamusoro pemakereke edu anhasi. Akafanira kuvharwa. Tiri kuterera here?

Pakupera kwenguva dzavo, maJuda vakaramba vakazvidza Kristu paakauya ari Munhu.

Pakupedzisira kwenguva dzedu dzemakereke, makereke ese vacharamba nekuzvidza Shoko raMwari rakaziviswa. Jesu ndiye Shoko raMwari. Saka akamira panze pekereke akarambwa.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23