Tinoziva zvakavanzika zvese here? Chikamu 2: Zvimwe Zvakavanzika 6 zvisina kubvira zvataurwa nehama Branham kuti vanoziva.



First published on the 29th of October 2020 — Last updated on the 29th of October 2020

Zvakavanzika.

Chakavanzika 12. Kristu achaonekwa riini? Hatizivi.

Chakavanzika 13. Zaruriro yekuzarurwa kweZvisimbiso panyika handicho chiitiko chaicho Kudenga.

Chakavanzika 14. Hatizivi Zita idzva raJesu.

Chakavanzika 15. Zvakaipa kusimudzira hama Branham nekutsiva Magwaro nezvaakataura zvinonzi haana kana “kukanganisi”.

Chakavanzika 16. Vana vachaberekwa here muMereniyamu?

Chakavanzika 17. hatizivi kuti Mutumwa Mukuru wekunaZvakazarurwa 10 achaburuka riini.

 

Chakavanzika 12

 

Kuonekwa kwaKristu.

Vanotenda kuMharidzo vanoti Gore rakaonekwa muna 1965 kwaive kuonekwa kwaKristu.

Kana kuti hama Branham ndivo vaive kuonekwa kwaKristu.

64-0531 BHORA RAKASIYANA.

Zvichibva pakuti wakarukirirwa pai. Mazviona? Saka, dai Ishe Jesu Kristu, mufudzi weboka, achengeta moyo yenyu yakarukirirwa paari, kuti, kana Mufudzi Mukuru achionekwa, tinozoonekwa pamwe naye.

Izvi zvakaparidzwa mugore 1964, nguva refu kwazvo mumashure mekuonekwa kweGore nekutorwa kwaro mifananidzo, pano hama Branham vaive vachiri vakamirira Kristu kuti aonekwe. Saka Gore raive risiriiro Kuonekwa kwaKristu.

VAKOROSE 3:4 Kana Kristu, Iye vupenyu bwedu, achivonekwa, nemivo muchavonekwa pamwechete naye pakubwinya.

Paachaonekwa, muchaonekwa pamwechete naye. Asi hakuna akaonekwa arinaKristu musi wakatorwa mifananidzo weGore pedyo neFlagstaff. Hama Branham vaive vasitoripo, sezvo vaive kure mamaira 200 vari kuTucson. Vaive vasingatozivi kuti kwaive kwaonekwa gore kusvika patodarika mwedzi yakati kuti. Kana isu tese taive tisiko. Vatendi vanhasi vazhinji vacho vaive vasati vatozvarwa mugore 1963. hakuna munhu wemweya aive pasi pegore iri musi wa28 Kukadzi 1963.

63-1113 CHIRATIDZO CHENGUVA INO.

Tinofara kwazvo kusangana navo, tichiziva kuti richava raMagwana rinofadza patichasangana, kwatichange tisisanamatiri hurwere, nekuti varwere vose vachaporeswa nekusingaperi. Kuchange kusisina husiku hwese vanhu vachinamatira vakarasika, nekuti tese tinenge taponeswa.

Takatarisira zuva iroro richaonekwa Ishe Jesu.

65-0718M KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI.

… Tiratidzei nzira yamakasarudza kuti tifambe mairi. Mutipewo nyasha dzenyu nerudo, kuti titevere nzira idzi nekuraira kwenyu nemoyo yedu yose, kuti tiwanikwe, zuva iroro, munaKristu, tisina chipomerwa, nekuti tinotenda, Ishe, kuti kuonekwa kwake kuri kuuya nekukasika.

1965, mwedzi mishanu chete ndiyo yaive yasara kuhushumiri hwake, asi aive achiri kutaura kuti akamirira kuonekwa kwaKristu.

1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE KEREKE YENGUVA YEPHIRADHEFIA KUKWAZISWA

Asi regai nditaure izvi. Ishe wedu haakundwi. Vanhu vanoti vanozarura mukova kuna Mwari nekuupfiga, asi vanonyepa. Zvese zvaakapihwa naBaba zvichava zvake, uye uyo anoenda kwaari asina kudanwa achadzingwa; Haangarasikirwi neumwe wavo. Johane 6;37-39.

Uye kana nhengo iyoyo yekupedzisira kumuviri waKristu ikapinda, ndipo pachaonekwa Ishe wedu.

I JOHANE 2:28 Zvino, vana vaduku garai maari, kuti, kana achizovoneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswa vo pamberi pake pakuuya kwake.

Kuvoneswa nekuuya anoita semazwi anoshanda achitsivana.

I JOHANE 3:2 Vadikanwa, zvino tiri vana vaMwari, vuye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei kuti kana achizovoneswa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuvona sezvaakaita.

Kristu paachawonekwa, muchava nemiviri yekubwinya semuviri wake.

63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE

Tiri kurarama nguva yekupedzisira. Nenyasha dzaMwari Wamasimbaose, nekubatsira kwake, kuvanhu vake kuti vatarisire kuwonekwa kwaKristu kuri kuuya nekukasika. ... “zvichatora nguva yakareba sei hama Branham?” Zvichida makore makumi maviri, zvichida makore makumi mashanu, zvichida makore zana, handizivi. Zvichida mangwanani chaiwo, zvichida husiku hwanhasi; handizivi. Uye chero munhu anoti anoziva, vanonyepa. Mazviona? Havangazivi. Mwari ega ndiye anoziva.

Izvi zvaive mumashure mekuonekwa kwegore guru. Aive achiri akatarisira kuonekwa kwaKristu kwaakati zvichida makore makumi mashanu kana zana aizotevera.

Anozviburitsa pachena kuti kana uchiziva kuti Kristu achaonekwa riini, unenge uchinyepa.

63-0804 JESU PANHANDARE

Dai Mweya Mutsvene une rudo wavatora, wavatungamirira kurubapatidzo rwemvura, nekurubapatidzo rweMweya Mutsvene, wovasimbisa muHushe hwaMwari kusvikira Kuuya nekuvonekwa kweMuviri waIshe Jesu Kristu kuzotora Mwenga wake.

Anoshandisa “kuuya” uye “kuvonekwa” pachiitiko chimwechete.

63-0825M NDINGAKUNDE SEI

Zvino, paKuuya kwaShe Jesu Kristu, vaya vari kuda kwazvo Kuuya kwake, vari kuraramira kuuya kwake; paachawonekwa kumakore, Kereke vaya vakafa muna Kristu vachamutswa, vapenyu vachashandurwa pakarepo.

Tarisai kuti akashandisa sei “kuonekwa” uye “kuuya” zvichikwanisa kutsivana. Zvinoreva chinhu chimwechete pano.

63-0319 CHISIMBISO CHECHIPIRI

... Zvino, Kristu asati auya, Bhaibheri rinoti kuchauya vanaKristu venhema vachizviti ndiKristu, vachiti, “Tarirai,” vanhu vachiti, “Ari kurenje.” musazvitenda. “Tarirai, ari muimba yemukati.” musazvitenda. “Nekuti sekupenya kwezuva richibva kumabvazuva richienda kumadokero, ndizvo zvichaita kuuya kweMwanakomana wemunhu.” mazviona? Hongu, achaonekwa, chichava chiitiko chichaonekwa nepasi rese.

Izvi zvakaparidzwa Gore ratotorwa mifananidzo kare. Akati Kristu achaonekwa munguva inouya, uye chichava chiitiko chichaonekwa nepasi rese. Chakaitika pakati pake nevatumwa vanomwe murenje pamakomo eSunset Peak kwaive kusiri Kuuya kana Kuonekwa kwaKristu. Sunset Peak, pedyo neguta reTucson, chikamu cherenje reSonora rinopinda muArizona nemuMexico. Jesu haasi kuzoyananisa Kuuya kwake nerenje.

MATEO 24:26 Zvino, kana vakati kwamuri: Tarira, uri kurenje, regai kubuda; tarira uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.

 

 

65-0725M VAKAZODZA PAMAZUVA EKUPEDZISIRA

… Zvino, ndinoda kuti muzive kuti izvi ichokwadi, nemi vakaterera kaseti iri. Munogona mafunga nhasi kuti ndanga ndichitaura izvozvo pamusoro pangu, kuti ndanga ndichizvirongedzera Mharidzo iyi. Handina chekuita nezvayo handina, hapana ringori izwi rangu chete ...

Handisirini ndakaonekwa parwizi; ndaive ndakangomirawo ipapo paakaonekwa. Handisirini ndinoita zvinhu izvi kana kutaura zvinhu izvi zvisati zvaitika sezvazviri; ndingoriwo munhu anenge ari pedyo paanozviita. Ndaingove izwi raakashandisa, kuti azvitaure. Zvaive zvisiri zvinhu zvandaiziva; zvingori zvinhu zvandinozvininipisa kwazviri, kuti ataure kupfurikidza ini. Handisini, aive asiri mutumwa wechinomwe, kwete; kwaive kuratidzirwa kweMwanakomana wemunhu.

Mutumwa aive asiri Mwanakomana wemunhu; aive mutumwa kana nhume yeMwanakomana wemunhu.

Kuzara kweMweya Mutsvene kwakaonekwa pamusoro pake paaibapatidza murwizi Ohio.

Kuzara kweMweya Mutsvene kwaive pedyo nehama Branham, kwete mukati make sezvo iye aive nechidimbu chete cheMweya Mutsvene.

Akamira pedyo naMwari, Mwari akangoshandisa izwi rake kutaura zvaifungwa nevanhu.

 

 

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO YUMA.AZ

Zvinhu zvitatu zvinoitika. Mhere, izwi, hwamanda, izvi zvinofanira kuitika Jesu asati aonekwa. Zvino, mhere ... Jesu anoita zvese zviri zvitatu pakuburuka kwake.

Mhere, chii mhere? Imharidzo inoparidzwa, pekutanga Chingwa cheHupenyu chinorarama chichikudza Mwenga.

Zvino, Mwari ane nzira dzekuita zvinhu. Uye haashanduri maitiro ake. Mwari asingashanduki. Kuna Amosi 3:7 Akati: “Haangaiti chiro panyika asina kuzivisa varanda vake ivo vaprofita.” Zvakadaro sezvaakavimbisa, achaita saizvozvo.

Mharidzo kana Mhere inofanira kutanga kusvika Jesu ozoonekwa. Jesu haaonekwe kana mhere ichiri kurira (mharidzo ichaparidzwa).

Zvino Jesu haaonekwe izwi reMutumwa Mukuru risati ramutsa vakafa. Ipapo vanorarama vanobva vashandurwa.

Kana izvi zvese zvaitika Hwamanda yotidaidza Kudenga.

Ndipo panoonekwa Jesu kumakore tomuona muchadenga.

 

Chakavanzika 13

 

Zaruriro yechiitiko haisiyo chiitiko chacho.

61-0611 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU .1

Zvino tinoona kuti akasimudzwa kuenda kudenga akaona kubva ipapo kusvika pakuuya kwaShe, sekunge aitovapo achiona zvese zvichiitika. Johane haana kurarama nguva refu ... akararama kusvika makore makumi mapfumbamwe neanoraudzira, akafa nerufu rwaMwari (ndiye ega muprofita) abva kuhupoteri kuchitsuwa chePatmos.

Chiratidzo chakaonekwa naJohane chaive chakajeka kwazvo zvekuti zvaitoita kunge aiona izvi zvichitoitika. Asi chiratidzo chaive chisiri chiitiko chacho.

57-0417 KUUYA KWASHE KWECHIPIRI
Chaive chinhu chikuru kwazvo kuna Johane muzaruriri pachitsuwa chePatmosi, zvekuti paakaona kuratidzirwa kwekuuya kwaShe,

Chiratidzo kuona zvinhu zvichaitika nguva inouya chiitiko chacho chisati chaitika.

Chiratidzo ndiapo muprofita anoenda kuseri kwezvidzitiro zvenguva kunoona zviitiko zvichauya odzoka kuzozivisa kwatiri zvisati zvaitika munguva yatinenge tichirarama.

60-1231 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 1

Jesu akati kwavari, “Chiiko kwamuri kana muchinonoka kusvika ndichiuya, kusvika ndichidzoka? Chii?”
" Vadzidzi vake vakakanganisa, vakati “Jesu akati ‘achararama kusvika iye Achidzoka.”

Asi Jesu haana kubvira akanganisa. Pano kuna Zvakazarurwa, Chitsauko chechina, Kristu akachengeta Shoko rake! Akatora Johane Kudenga akamuratidza zvinhu zvese. Ngaarumbidzwe! Akaona chiratidzo chezvichauya. Akazviona seaitorarama mazviri ari panyika achiona nguva dzemakereke dzichidarika, kusvika paKuuya kwaShe, Bhuku rese raZvakazarurwa.

Chiratidzo chakangofanana nekuti akararama muzviitiko izvozvo.

50-0816 KUTARISA ZVINHU ZVISINGAONEKE
Oh, chii chandingafunge husiku huno, “Ishe, tiregei tione kusi kwechidzitiro chenguva, kungoona zvishoma shoma, kuti tione kuti zvimbori chii.”

Chiratidzo muono wezvinhu zviri munguva inouya apo maprofita anoona zvinhu zviri kuseri kwechidzitiro chenguva.

1963 CHISIMBISO CHECHIPIRI

Zvino, dzakakura sei nyasha dzaMwari kutizivisa chakavanzika chake muzuva ranhasi. Zvino, tese tichatenda kuti tiri kurarama muzuva rekupedzisira. Tinotenda izvozvo. Rangarirai, chakavanzika chaizoziviswa mumazuva ekupedzisira. Anozivisa sei Shoko rake, chakavanzika chake Bhaibheri? Munoda kuverenga paakazvitaura here? Ngatiendeipo tione kuti anozivisa sei zvakavanzika zvake. Zvino ndinoda kuti muverenge Amosi; endai kuBhuku raAmosi, ndinoda kuti muverenge Chitsauko chechitatu chaAmosi pavhesi rechinomwe. Zvakanaka. Ndichaverenga nevhesi rechitanhatu zvakare.

Ko hwamanda ... ingaririra muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehova asina kuzviita here?

Zvirokwazvo Ishe Jehova ... haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaprofita zvakavanzika zvake.

Hama Branham vanofanira kutanga vatipa zaruriro yekuzarurwa kweZvisimbiso zvinomwe tichiri panyika, Zvisimbiso zvinomwe zvisati zvanyatsozarurwa Kudenga.

Tinoti Zvisimbiso zvinomwe zvakazarurwa.

Tiri kuti here zvakazarurwa zvechokwadi Kudenga nekutsanangurwa zvakazara, kana kuti zvakazarurwa muzvikamu zvezaruriro panyika sekutambanudzwa kwezviitiko zvichauya?

Hatina tsananguro dzakakwana pamusoro peZvisimbiso.

Hatizivi kuti mutasvi anonzi rufu ndiyani. Ndiye Pope wekupedzisira, asi munhu wacho achaita Pope uyu ndiyani?

Chisimbiso chechinomwe hachisati chazarurwa. Saka chinoramba chiri chakavanzika.

64-0719M MUTAMBO WEHWAMANDA

Chisimbiso chechinomwe hachisati chazarurwa. Ndiko Kuuya kwake.

Chisimbiso cheChitanhatu chichazarurwa chete nemaprofita maviri munguva yeKutambudzika kukuru.

Saka tinoziva zvinhu zvishoma kwazvo pamusoro pezviitiko zvemunguva yeKutambudzika. Hwamanda nomwe nendiro nomwe zvinoitika munguva yeKutambudzika kukuru hazvina kubvira zvaziviswa kuhama Branham.

63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU

Zvino, tarirai. Musarega zvichikukatyamadzai, asi honai chakazarura Chisimbiso ichocho: maprofita. Mazviona? Amen. Ndizvozvo. Oh, tiri kurarama muzuva regondo, hama, musoro uchionekwa kudenga pakati pemakore. Vakazarura Chisimbiso chechitanhatu. Vane simba rekuita izvozvo. Amen. Kune Chisimbiso cheChitanhatu chiri kuuya chakazarurwa. Mazviona?

Ngatitarisei Zvakazarurwa Chitsauko 4. Inotaura pamusoro pezviitiko zvenguva inouya apo Mwenga anotorwa kuenda Kudenga. Tinoziva zvishoma kwazvo pamusoro pechiitiko ichocho.

1965 ZARURIRO YAJESU KRISTU- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 1.

Asi Johane paakatarira akangoona “Munhu MUMWECHETE” agere pachigaro chehushe. Asi izvi zvakazoitika kuna Zvakazarurwa 5:6-8 (inotevera Zvakazarurwa 4:2-3 muzviitiko zvenguva) patinoona “Gwaiana” richitora Bhuku kubva kuna “IYE” agere pachigaro chehushe, sezvazvakanyorwa kuna Zvakazarurwa 4:2-3 nevhesi 9-10.

Zvakazarurwa Chitsauko 5 inotaura zviitiko zvakaitika mumashure meChitsauko 4. Muchitsauko 4 Johane anotorwa kuenda Kudenga akamiririra Mwenga achikwira Kudenga mumashure menguva dzemakereke. Chitsauko 5 ndeapo Jesu anotora Bhuku kuti arizarure, chiitiko ichi chinoitika mumashure mekukwira kudenga kweMwenga. Mwenga anenge akamira akapoteredza chigaro chehushe panoitika izvi.

ZVAKAZARURWA 4:1 Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rekutanga randakanzwa rakaita sehwamanda richitaura neni, richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvo.

“Shure” kwechii? -- shure kwekupera kwenguva dzemakereke. Johane anotorwa kukwira kudenga ari rudzi rweMwenga. Izvi zvinomiririra kukwira Kudenga kweMwenga munguva inouya.

Kana Mwenga akudenga vachaimba vakapoteredza chigaro chaMwari. Ipapo ndipo Jesu paachatora Bhuku orizarura.

ZVAKAZARURWA 5:9 Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: Ndimi makafanira kuti mutore Bhuku nokuzarura zvisimbiso zvayo; nokuti makabaiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose.

1963 03 24 MIBVUNZO NEMHINDURO PAMUSORO PEZVISIMBISO

Kuna Zvakazarurwa 5 kusvika 9, ndivanani vanoonekwa vachiimba Gwaiana parinotora Bhuku ... ava ndivo vatsvene vakakwira kudenga here?

… tarirai pano, “Rwiyo rwavanoimba, vachiti, makatidzikinura kubva kumarudzi ose nendimi dzose nenyika dzose.”

Saka zvechokwadi ndivo.

Gwaiana rinotora Bhuku vatsvene vanotorwa kukwira Kudenga kana vaKudenga, mumashure mekukwira kudenga kunosangana naShe kumakore.

Zvisimboso Zvinomwe zvichazaruka chete zvechokwadi, netsananguro yazvo yakazara, kana Mwenga apoteredza chigaro chehushe mumashure mekukwira Kudenga.

Hama Branham vakapihwa zaruriro yezviitiko zvenguva inouya kuti vagone kutipa munongedzo wakazara pamicherechedzo yose. Saka zaruriro yezvisimbiso yakatizarurira sezvo takukwanisa kuterera mharidzo towana mufananidzo wekuti Zvisimbiso zvimbori pamusoro pei. Chero tisati tane chatinoziva pamusoro peZvisimbiso Zvinomwe uye tisina zvizhinji zvatinoziva pamusoro pechisimbiso chechitanhatu.

Maprofita maviri munguva yeKutambudzika vachaziva zvakawanda pamusoro peChisimbiso cheChitanhatu kudarika zvatinoziva nhasi.

Asi kuvhurwa kwazvo chaiko, kuti tigogone kuona patichange takamira takapoteredza chigaro chehushe, zvichaitika chete kana tasiya nyika ino.

Musaite kukanganisa kukuru kwekufunga kuti zaruriro pamusoro pechiitiko, inotipa muono wezviri mberi, ndicho chitori chiitiko chacho.

 

 

Kukanganisa kukuru kuriko nhasi inzira inoshandiswa nevaparidzi veMharidzo kuisa zviitiko zvenguva inouya mune zvakadarika.

 

Chakavanzika 14.

 

Hatizivi Zita idzva raJesu.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Uye Jesu, Zita rake panyika raive mudzikinuri, Jesu. Paaive panyika, aive Mudzikinuri; ndicho chokwadi. Asi paakarwisa rufu negehena akazvikurira, akakwira kumusoro akanogamuchira Zita idzva. Ndicho chikonzero nei vachitaura nenzira yavanotaura nayo asi vasina kwavanoenda; nekuti richaziviswa muKutinhira. Mazviona?

Kutinhira kunozivisa Zita idzva raJesu.

ZVAKAZARURWA 19:11 Ipapo ndakavona kudenga kwakazarurwa, ndikavona bhiza jena; naiye wakanga agere pamusoro paro wakanzi: Wakatendeka noWazvokwadi; unotonga nokurwa zvakarurama.

12 Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzivikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.

Hakuna munhu aiziva zita idzva.

1965 NGUVA YEKEREKE YEFIRADHEFIA – BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 8

“Ndichanyora Zita rangu IDZVA pamusoro pake.

Zita Rangu Idzva. Zvese pazvichave zvitsva, achazvitorera Zita Idzva uye zita iroro ndiro richave Zita remwenga wake zvakare. Zita iroro nderekutii, hakuna angazama kuzvidudzira. Inofanira kuva zaruriro yeMweya inopiwa zvakazara zvekuti hakuna angaedza kuriramba. Asi hazvirambiki achasiya zaruriro iyi kusvika zuva raachada kupa zita idzva iri. Zvinodakadza kuziva kuti zvichava zvakanakisa kudarika zvataifungira.

MABASA 4:12 Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.

Zita idzva richashanda patichange tava mumiviri isingavori tisisadi Muponesi.

Kusvika nguva iyoyo tinoda Ropa raJesu Kristu kuti ritiregerere zvivi zvedu. Zita idzva richashanda chete patinenge tisisade zita rakare, Jesu.

Kana tichiri pasi Pedenga tinoda kuregererwa muZita raJesu. Patichagamuchira miviri mitsva, totorwa kukwira Kudenga, ipapo tinozodaidza Jesu neZita idzva.

Kana mukange makuziva Zita idzva, hamuzoshandisi Zita dzaru Jesu zvakare.

Saka tinokwanisa chete kudzidza Zita idzva pakupedzisira chaipo patichasiya nyika ino.

 

 

Chakavanzika 15.

 

Kusimudzira hama Branham nekufunga kuti neimwe nzira ndiMwari.

64-0830E MIBVUNZO NEMHINDURO 4

Hama Branham, hanzvadzi yakauya kuTabernakeri mamaira anosvika mazana masere, akati iye aitenda kuti muri Jesu Kristu pamuviri. Ndapota taurai nezvazvo. Aive asingadi kana kumira kuudza vamwe zvaanofunga.

Zvakanaka. ZVINO, ‘Nekuti hanzvadzi iyoyo yaive ichikanganisa. Handisi Jesu Kristu; ndiri muranda wake. Takasangana nazvo izvozvo nguva zhinji.

Kudaidza mharidzo dzake kuti “Izwi raMwari” hazvisi muMagwaro zvachose.

Izwi rake ndiro “izwi remutumwa wechinomwe”.

Nguva yedu yakavimbiswa “izwi remutumwa wechinomwe” uye “izwi reMutumwa mukuru” rinodaidzwa nehama Branham kuti “izwi rerumuko”.

Hatina kubvira tavimbiswa “Izwi raMwari.”

ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaprofita.

I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa munaKristu vachatanga kumuka.

65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO YUMA.AZ
... Mhere; zvino izwi, kwozouya hwamanda.

Mhere: mutumwa achigadzirira vanhu.

Pechipiri inzwi rekumutsa vakafa: izwi rimwechete, iro, izwi guru kuna Johane 11:38-44, rakadaidza Razaro kubva kuguva.

Kuunganidza Mwenga, uye kumutswa kwevakafa, mazviona; kuti vatorwe naro kukwira kudenga.

Nguva yekereke yekutanga haina kubvira yaita Izwi raMwari.

Saka tinofanira kuita zvaive nekereke yekutanga chete.

Tsika dzavaNikoraiti kusimudzira munhu mutsvene. Mwari akavenga tsika dzavaNikoraiti.

ZVAKAZARURWA 2:6 Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neni vo.

65-0725M VAKAZODZWA MUMAZUVA EKUPEDZISIRA

… Zvino, ndinoda kuti muzive kuti ichi ichokwadi, nemi vachaterera kaseti rino. Munogona kuva mafunga kuti ndiri kuedza kutaura izvi pamusoro pangu, nekuti ndini ndagadzira mharidzo iyi. Handina chekuita nayo zvachose, hapana chimwe chinodarika kungova mutauri chete. ...

Handisirini ndakaonekwa parwizi; ndaive ndakangomirawo ipapo paakaonekwa. Handisirini ndinoita zvinhu izvi kana kutaura zvinhu izvi zvisati zvaitika sezvazviri; ndingoriwo munhu anenge ari pedyo paanozviita. Ndaingove izwi raakashandisa, kuti azvitaure. Zvaive zvisiri zvinhu zvandaiziva; zvingori zvinhu zvandinozvininipisa kwazviri, kuti ataure kupfurikidza ini. Handisini, aive asiri mutumwa wechinomwe, kwete; kwaive kuratidzirwa kweMwanakomana wemunhu.

Mutumwa aive asiri mwanakomana womunhu; aive nhume yakabva kuMwanakomana wemunhu.

Hama Branham vaive nemugove weMweya Mutsvene, kwete kuzara kweMweya Mutsvene mavari.

Kuzara kwehuMwari kwakavonekwa pamusoro pavo kwete mavari, pavaibhapatidza parwizi Ohio.

Kuzara kwehuMwari kwaive pedo navo pavaidudzira zvaive mundangariro dzevanhu. Kuzara kwehuMwari kwaive kusiri mukati mehama Branham.

Mwari akangoshandisa izwi rake chete, sezvo aive asingazivi kuti Mwari aitaura kuti kudii kupfurikidza naye paiziviswa zvaifungwa nevanhu.

Asi paakaparidza, ipapo akaziva kuti aitaura nezvei.

Saka paakaparidza, akashandisa izwi rake, zvaive pasi pesimba rake. Paaiparidza, Mwari aive asingashandisi Izwi rake iye asingazivi zvaaitaura.

Asi Mwari aive ambomupa zviratidzo kuti atsanangure Magwaro.

Kristu ndiye Shoko. Saka hama Branham pavakazivisa Shoko, vaizivisa Kristu kuvanhu.

64-0212 MESO AVO PAAKAZARURWA VAKAMUZIVA

Huyai apo, mumwe munhu wo zvake. Muhuvepo hwaKristu, ndinongonzwa mweya uchidaidza mumoyo mangu. ... Mwari ari kukudai muhuvepo hwake hunoyera.

Mwari achatonga nyika nani? Jesu Kristu. Ndiyani akavimbiswa pakuita izvi mumazuva ekupedzisira, kuti Azvizivise? Jesu Kristu. Handisini. NdiKristu. Kristu Ndiye ari pano achizvizivisa. Kuzvininipisa, sezvaaive; achibva pasina, sezvaakaita; achipinda matiri, sezvaakaita. Ndiye Mwari.

1963 NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA CHITSAUKO 9

Asi koshesai izvi zvakare. Nhume-muprofita achave sezvaive Eria naJohane. Vanhu venguva yenhume-muprofita uyu vachava sezvaive vanhu munguva yaAhabu neyaJohane. Uye sezvo vari “VANA CHETE” vane moyo ichadzorerwa, vana chete vachaterera. Mumazuva aAhabu vanhu 7000 vaive vana vaIsraeri chaivo ndivo vakawanikwa. Mumazuva aJohane vaivewo vashoma Kwazvo. Ruzhinji munguva idzi dzese vaive mukusviba kwekunamata zvifananidzo.

Ndinoda kuita mumwe muenzaniso mumwechete pakati pemuprofita nhume kuRaodikia naJohane. Nhume muprofita akakura nzira yekuuya kwekutanga kwaJesu. Vanhu mumazuva aJohane vakamufungira kuti aive Messiasi.

JOHANE 1:19-20 Uku ndiko kupupura kwaJohane, musi maJuda vakatumira kwaari vaprista navaRevi, vachibva Jerusarema, kundomubvunza, kuti: Iwe ndiwe aniko? Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena achiti: Handizi Kristu.

Zvino muprofita wezuva rekupedzisira achava nesimba rakadaro pamberi paShe rekuti kuchava nevanhu vanomufungira kuti ndiShe Jesu Kristu.

Kuchaita mweya panyika pamazuva ekupedzisira uchanyengera vamwe vakatenda izvi.

MATEO 24:23-26 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema, navaprofita venhema, vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa, kuti kana zvichibvira, vatsause navasanangurwa vo.

Tarirai, ndagara ndakuvudzai.

Zvino, kana vakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kubuda, Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.

Asi musazvitenda. Haasi Jesu Kristu. Haasi Mwanakomana waMwari. MUMWE WEHAMA, MUPROFITA, NHUME, MURANDA WAMWARI. Haatombodi kukudzwa kunoiswa paari kudarika kwakagamuchirwa naJohane paaive izwi raichema riri murenje, “Handisini Iye, ASI UNOUYA MUMASHURE MANGU.”

Kristu haauyiri murenje.

MATEO 24:26 Zvino, kana vakati kwamuri: Tarirai, uri kurenje, regai kubuda, Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.

Hama Branham vakaenda kunovhima kumakomo eSunset Peak musi wa 6 Kurume 1963. Sunset Peak chikamu chemarenje makuru eSonoran akapoteredza Tucson munyika yeArizona. Uku ndiko kwakauya vatumwa vanomwe kuzosangana naye musi wa 8 Kurume 1963.

 

 

Zvisinei, Gore harina kubvira raonekwa chero nzvimbo pedyo nemakomo eSunset Peak kwaive nehama Branham. Gore rakaonekwa muguta reFlagstaff riri mamaira mazana maviri kumusoro kweTucson. Gore rakaonekwa mazuva masere vasati vasangana nevatumwa musi wa 28 Kukadzi 1963, nguva iyoyo hama Branham vaive kure mamaira mazana maviri kunzvimbo yeTucson. Gore raifamba richibva kumadokero kuenda kumabvazuva apo raienda rakananga kuMexico chinhambwe chemakiromita 43 muchadenga kure kwazvo kuti gore rinoitwa nemamiriro ekunze riwanike. Rakangoonekwa kwekanguvana kwemaminetsi makumi maviri nemasere zuva richangodoka.

 

 

“Dzimba dzomukati” inzvimbo dzakavanzika. Vaparidzi veMharidzo vanoti Gore raive Jesu achiuya nenzira yakavanzika. Huvepo hwaShe hwakavanzika hunodaidzwa kuti Parousia.

Brother Branham never used the word Parousia. Hama Branham havana kubvira vashandisa izwi rekuti Parousia.

Johane Mubapatidzi akazivisa Jesu Kristu kuvanhu akamugeza murwizi Jorodani seGwaiana rechibairo uye muprista mukuru. Asi Jesu akazotanga hushumiri hwake mumashure mekunge Johane Mubapatidzi auraiwa.

Hama Branham vaifanira kutanga vazivisa zvakavanzika, zvakatendwa mazviri nekereke yenguva yekutanga, kwatiri. Pavakazivisa zvakakwana pamusoro peBhaibheri kwatiri kuti tinzwisise zvaitendwa nekuitwa nekereke yekutanga, akabva auraiwa munjodzi yemotokari. Ipapo Shoko raMwari rakanyorwa rakabva ratanga kuva kurudziro huru kuvanhu. Makore anodarika makumi mashanu adarika kubva zvaakauraiwa. Vanhu vazhinji pasi rese vanoti vanotevera dzidziso dzake havana kubvira vamuziva.

Namazuva enzwi remutumwa wechinomwe”. Bhaibheri harina kuisa kukosha paari semunhu. Bhaibheri rakaisa kukosha “paizwi rake” rakaparidzwa pasi rese kupfurikidza mharidzo dzakatapwa pamakaseti nepaIntaneti. Nguva refu atofa kare. Vanhu vasina kubvira vamuziva ari munhu vanotokurudzirwa nezvaakataura.

Chinhu chakakosha: Eria wekutanga haana kubvira aziva vanhu 7000 vakatenda kumharidzo yake. Saka vanhu vakaziva hama Branham havana kana chavanoti vari nani kupinda vanhu vasina kuvaona. Kumuziva semunhu kunogona kwakatopofomadza vanhu ava pamusoro pehushumiri hwake. Kumuziva ari munhu kunoita sekuoita kuti vanhu vakoshese mutumbi nezvavanobata zvinobvamupfungwa dzake iye, pachinzvimbo chekukoshesa Magwaro. Kuna Zvakazarurwa Chitsauko 13 chiratidzo chechikara chinotaurwa sechikamu chehushumiri hwechikara cheAmerica. Ngwarirai vanhu vekuAmerica vanovaka zvitendero zvavo kubva pamazwi akabatwa panotaura vanhu nekuturikira kwavo kwavanomaita.

Kuna Zvakazarurwa 13, America, nyika inotonga kwazvo pasi rese, yakaprofitwa kuti ichaisa chiratidzo chechikara pavanhu.

Chiratidzo chechikara (666) chichavako kubvisa vanhu paShoko raMwari rakanyorwa.

JOHANE 6:66 Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye.

Vadzidzi ava vakabva kunaJesu anova Shoko raMwari. Izvi zvakaitika muvhesi 66 rechitsauko 6.

America inoshandisa zvakabatwa paitaura vanhu kurasisa vanhu kubva paMagwaro. Pasi rese, vanhu vanotevera muenzaniso uyu.

Vafundisi vemakereke emharidzo vaiturikira zvavakabata paitaurwa kuti vafungidzire kuti Hillary Clinton aizokunda musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica dzegore 2016. Akakurirwa. Vamwe vevafundisi ivavo vakashandisa mazwi avakabata paitaurwa kufanotsanangura kuparadzwa kweAmerica neKuuya kwaShe mugore 1977. Vakapotsa zvakare pane izvi. Asi vanhu vachiri kuvasimudzira sevatungamiri, zvinongoburitsa pachena kuti zviri nyore zvakadii kurasisa vanhu vasingagare nezvakataurwa neBhaibheri nemazvo. Saka Mwari akatipa yambiro kaviri pamusoro pekutenda muvafundisi vanosimbisa kutenda kwavo nezvavakabata paitaura vanhu. Vazhinji vevatungamiri ava vakavaka dzidziso huru kubva paGore guru nekuti havana kutsvagiridza zvinhu zvakaitika chaizvo. Semaparoti vanodzokorora kutaura zvakataurwa pakakanganisa hama Branham vachifunga kuti vatumwa vanomwe vakaita Gore pavakabva kwavari mazuva masere mumashure mekuonekwa kwegore. Vaive kure chinhambwe chemamaira mazana maviri kubva paive negore parakaonekwa vakazoziva nezvaro mwedzi yakati kuti yakazotevera.

“Hamugoni kugadzirisa muprofita” kuchema kwehondo kwevafundisi vanorasisa vanhu vanotyisidzira vanhu sevarwi vemweya kuti vangopusisa nekutyisa vanhu. Hachisi chokwadi. Hama Branham vaive vasiri pasi peGore, America haina kuparadzwa muna 1977, zvisinei nezvavakabata achitaura kudaro.

I VATESARONIKA 5:21 Idzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka.

I JOHANE 4:1 Vadikanwa musatenda mweya yose asi muidze mweya kuti muvone kana yakabva kuna Mwari.

II TIMOTIO 4:2 Paridza Shoko.

Bhaibheri rinoda kuti tiidze zvinhu zvose nekuzvitsvaga mariri kuti zvinofambirana neMagwaro here.

Vafundisi vakafonyora zvakataurwa nehama Branham vachizvibvisa paBhaibheri, ndicho chikonzero nei vasingadi dzidziso dzinoidzwa neBhaibheri. Havatogoni kuyananisa zvavanofunga nekutenda mazviri neBhaibheri.

DEUTERONOMIO 19:15 Chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu pachinhu chakaipa chipi nechipi, kana chivi chipi nechipi, chiri chivi chipi nechipi chaakatadza; Shoko rinofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

Hama Branham kana vakataura chimwe chinhu vanenge vangori chapupu chimwechete. Hazvina zvazvinoreva. Kutora zaruriro dzake modzidzosera kuMagwaro kunokupai zvapupu zviviri. Izvi zvinotsigira zvavataura. Kuziva kuti Sainzi, Bhayoroji kana Nhorondo dzinotenderanawo nazvo zvinotipa zvapupu zvitatu zvitori naniwo chaizvo.

II VAKORINTE 13:1 Iyi inguva yechitatu, yandinovuya kwamuri. Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa.

Asi vanhu vanodisa kwazvo “kereke” kudarika Bhaibheri, saka vanongoramba vachitevera vatungamiri vavo mapofu.

Vanhu vanotya zvakanyanya kupokana nevafundisi vavo kudarika Bhaibheri.

Jesu akati Johane Mubapatidzi aive mwenje unopfuta nokuvheneka. ...

JOHANE 5:35 Iye wakanga ari mwenje unopfuta nounovheneka; imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake.

Vanhu vaiita tsika yekukoshesa Johane zvakanyanya nekuti aive muprofita mukuru. Asi Johane akaita kukanganisa kukuru. Vadzidzi vake vakafunga kuti Jesu aive asiri Messiasi chaiye. Vadzidzi ava havana kufungira kuti muprofita angakanganise. Vaifara kuramba Jesu kupfurikidza kutenda mukukanganisa kwaJohane.

MATEO 11:2 Zvino Johane ari mutorongo, wakanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake.

3 Achiti kwaari: Ko ndimi iye wakanga achinzi unouya here kana tichatarisira mumwe?

Vadzidzi vakashandisa mazwi avakabata kubva pakutaura kwaJohane kuramba Jesu, Shoko. Asi hatina kuzonzwa zve nezvevadzidzi vaJohane Mubapatidzi vaviri ava zvakare.

Nhasi uno vadzidzi vaWilliam Branham vanoshandisa zvaakataura kuramba Magwaro. Vanotenda kuMharidzo vanongounganira zvakare zvakataurwa nehama Branham izvozvo zvavanosimudzira kusvika pachinzvimbo cheShoko raMwari iro pacharo kana kutodarika. Izvi hazvisi muMagwaro uye vadzidzi vehama Branham havachatora Shoko (Jesu Kristu) seMukuru wavo.

Hama Branham vaive nehushumiri hwekutidzorera kuShoko raMwari.

Havana kuzodzwa kuti vatsive kana kutora nzvimbo yeShoko raMwari.

JOHANE 5:36 Ini ndine chapupu chikuru kuna Johane:

Jesu, Shoko raMwari, mukuru kudarika chero chiprofita.

61-0611 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU 1

Rimwe zuva kuCanada hama yakandiratidza katikiti kaakanga arongedza muhomwe make, akati “William Branham ndiShe wedu,” kubapatidza muzita raWilliam Branham. Chinhu chiduku, ... akanaka ... dai aive muvengi, dai aive muvengi wangu ndingadai ndakaziva kuti aitamba. Asi mudiwa, akanaka hama yangu munaShe yakauya kuzoreurura zvivi zvake nekutadza kwake akati aitenda mandiri kuti ndaive Jesu Kristu.

Ndine tsamba kumba, nenhare dzinobva kuChicago nenzvimbo dzakasiyana siyana, vanhu vachibvunza kana ndichitenda izvozvo.

Ndine ndudzi dzese dzetsamba dzakauya mazuva mashoma adarika, nenhare kubva nzvimbo dzakasiyana, saka, dzichiti ndaive Kristu. Hama, ichi chinhu chakaipisisa, chinonyangadza chisina kunamata machiri nhema dzaDiaborosi! Mazviona? Mazviona ndiri hama pamwechete nemi. Zvino, izvi zvinogona kubvisa chero munhu mubasa. Izvi zvinoita kuti chero munhu anoda Kristu atize zvinhu zvakadaro.

... asi kana zvikasvika pakudaidza kuti “Kristu akazodzwa,” kana chimwe chinhu, zvaive zvakanyanyisa kwandiri. Saka handina kukwanisa kuzvisekerera.

... Husiku hushoma hwadarika, kusimbisa chokwadi, ndakashanyirwa naShe. Ndikaona mumwe, chinhu chakanaka, ... chimwana ... nyoka yaive neruvara rweyero nerutema, ndikaudzwa, chinhu ichi chikandiruma pagumbo. Asi ropa raive rakasimba zvekuti hazvina zvazvakakonzera pandiri. Ndikatarira pasi, ndikaona pandaive ndarumwa. Ndikatendevuka nepfuti ndikapfura chinhu chiya, ikapfura pakati pechinhu ichocho chaipo.

Hama ikati ... ndakatendeuka nepfuti yangu kuti ndipfure musoro wayo, akati, “usadaro, chingononga muti uri parutivi pako.” pandakatendeuka kuti ndinonge muti, wakashanduka ukaita mvura, kadziva kaduku kemvura.

Nyoka iyi yaive mucherechedzo wemharidzo yehukuru yaida kushandura hama Branham kumuita Jesu.

Akaedza kuuraya dzidziso iyi asi akangoikuvadza chete. Yakashanduka kuita kadziva kemvura, ikararama. Vanhu vanoshandisa “kadziva kezvaakataura” zvakasarudzwa kuvaka dzidziso dzavo vanosimudzira zvakataurwa izvi pamusoro peMagwaro. Vanofuratirawo kumwe kutaura kunorwisa maonero avo.

Saka vanosimudzira hama Branham voti mharidzo dzake “Izwi raMwari”.

Iyi inzvimbo inotyisa kutambira.

Kusimudzira munhu mutsvene ndidzo tsika dzavaNikoraiti. Izvi zvakavengwa naMwari.

Tarirai zvakataurwa naMwari kukereke yekutanga, inofanira kuva muenzaniso kwatiri:

ZVAKAZARURWA 2:6 Asi chinhu ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti andinovenga nenivo.

Tinofanira kuvenga kuedza kwese kungaitwe kusimudzira William Branham. Aivewo mutadzi akaponeswa nenyasha, kunyange zvake aive nehushumiri hune simba uye hwakakosha. Anoramba ari hama kwatiri, zvisinei nezvipo zvese zvaaive nazvo zvinodakadza. Haagoni kuva Ishe wedu.

62-1007 KIYI YEMUKOVA
Dzimwe hama uko dzakati ndakadzituma ikoko, vari kuparidza kuti vanhu vanofanira kusiya vakadzi vavo votsvaga vadiwa vavo vemweya, uye kuti ini ndakarurama handitadzi. Kuti hakuna chinhu ... .. uye, Oh, zvimwe zvezvinhu zvinonyangadza zvamakambonzwa.

Hama Branham havana kufara zvachose vateveri vavo pavakataura kuti havatadzi saka havakanganisi. Pope ndiye anoti haatadzi. Kana mukati hama Branham havatadzi munenge mavaita Pope wechipiri. Chitendero chaantikristu. Makristu haagoni kuzvifungira, sekereke yeRoman Catholic zvairi mai mhombwe vakabereka vanasikana nzenza (mamwe makereke ese emasangano asiri maCatholic). Vese vanoguma votevera muenzaniso weCatholic.

KumaCatholic Pope anozivikanwa ari “izwi raMwari” saka nekudaro, zvisinei nekukanganisa kwake anodaidzwa kuti “wakarurama”. Tarisai kuti izvi zvakatevedzerwa sezvazviri sei nevanotenda kuMharidzo.

Mharidzo dzehama Branham dzinotengeswa nevashambadzi vanonzi “Voice of God”. Vafundisi veMharidzo vanoti kushora Mwari kuedza “kugadzirisa muprofita. Saka kana asingagadziriswi kana kutsiurwa, “haatadzi”.

Kereke yeRoma inonzi Babironi rakavanzika. Vakazadzwa nezvakavanzika zvisina kunyorwa muBhaibheri.

Mapoka eMharidzo vazadzwawo nezvakavanzika zvisina kunyorwa muBhaibheri. Chisimbiso cheChinomwe, Kuuya kwaShe, Kutinhira kunomwe, Zita idzva raJesu, nezvimwe zvakadaro.

Saka mapoka emharidzo aya anokwanawo kuva vanasikana vemhombwe.

EZEKIERI 16:44 Tarira, mumwe nomumwe unobata neshumo, uchabata neshumo iyi pamusoro pako, achiti: sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.

Saka boka rimwe nerimwe remharidzo rakasimba mukuturikira kwaro kwarinoita zvakataurwa richiramba chero kugadziriswa neumwe munhu anobva kunze kweboka.

Kuita kweRaodikia chaiko, “havana chavanoda kana chavanoshaiwa” vanotonzwa kuti havadi kugadziriswa.

 

Chakavanzika 16

 

Kuchaberekwa vana here muMereniyamu?

64-0823E MIBVUNZO NEMHINDURO 2

Zvino, “Kuchaberekwa vana here muMereniyamu?”

Ndiwo mubvunzo uri mupfungwa dzanguwo, wandakakuudzai rimwe zuva. Handizivi. Zvinoita sezvinogona kudaro; zvinoita sezvingangodaro. Ndichataura chokwadi chaicho kwamuri sekuziva kwandinoita. Handizivi kusvika nhasi uno. Kana Mwari akazvizivisa, ndichakuudzai. Asi mirai; zvinofanira kubva kuna Mwari.

 

Chakavanzika 17

 

Hatizivi kuti Mutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa 10 achauya riini.

Vafundisi veMharidzo vanoti mutumwa mukuru akaburuka kare hama Branham vachiri panyika.

Vamwe vanoti gore guru remuna 1963 ndiro raive kuuya kweMutumwa mukuru.

Vamwe vanoti mutumwa akaburuka imwe nguva pakati pegore 1963 negore 1965.

65-1127 I NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.

Mwedzi mumwechete asati afa izwi reMutumwa Mukuru richiri munguva inouya. Saka Mutumwa mukuru haana kubvira aburuka hama Branham vachiri panyika.

53-1205 KUMUKA KWEVAKAFA.

Mutumwa Mukuru waMwari achazivisa kuuya kwaKristu kwechipiri.

Izvi hazvina kubvira zvaitika muhushumiri hwehama Branham.

64-0119 SHAROMI

Asi, rangarirai, kana tikangopinda mumumvuri werufu, “Ndini Rumuko nevupenyu; ndichamumutsa zvakare.” Uye kana Mukuru wemasimba ose aburuka akaisa hoko iyoyo pasi, ipapo, “nguva haizovapo.” Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”

Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.

Iri igore rimwechete mumashure mekuonekwa kweGore hama Branham vaitaura nezvekuburuka kweMutumwa muzvikamu zvenguva inouya. Mutumwa uyu paanoburuka, kumuka kwevakafa kunoitika. Izvi hazvisati zvaitika.

MuZvakazarurwa zveZvisimbiso zvinomwe akataura zvakawanda pamusoro peMutumwa Mukuru achitaura zvenguva inouya.

63-0317E MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

… Gwaiana rinouya zvino. Mazuva ake akuyananisira zvivi adarika, mazuva ekuva mumiririri. Ndipo Mutumwa uyu paachamira pakadaro apo (Mirai kusvika tapinda muZvisimbiso). Nguva haizovipo zve. Ndizvo chaizvo.

Mutumwa anoburuka chete kana nyasha dzaguma.

… Zvino pano anodzoka muchitsauko 10 mumashure menguva yekuuya, kuti zvakavanzika zvese zvipedziswe, uye kuti zvisimbiso zvizarurwe, achidanidzira kuti nguva haizovipo zve. Akati, “Nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa nguva yekuonekwa kweMutumwa yosvika. Tava pedyo kwazvo, pedyo. Ndizvo chaizvo.

Mutumwa haana kuburuka muna 1963. Zvakavanzika zvinofanira kutanga kupedziswa. Zvakavanzika zvakapedziswa Muna Zvita 1965. Saka Mutumwa mukuru aizokwanisa kuuya mumashure maizvozvo.

Mutumwa aikwanisa chete kuburuka mumashure mekupedziswa kwezvakavanzika muna 1965.

63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

Muruvoko rwake maive neBhuku duku rakazaruka: ...

Zvino, apa raive rakavharwa, rakasimbiswa, apa raive razaruka, raive razarurwa. Kubva nguva iyoyo yekusimbiswa yatiri kutaura nezvayo nhasi, apa Bhuku razarurwa. Bhuku duku muruvoko rwake... raive razarurwa.

Gore guru rakatorwa mifananidzo mwedzi mumwechete hama Branham vasati vazivisa zvisimbiso zvinomwe. Gore raisakwanisa kuva Mutumwa aive neBhuku yakazaruka sezvo Bhuku raive richiri rakapfigwa pakatorwa mifananidzo yegore.

Vanhu vemharidzo vanoti Gore guru remuna 1963 raive Mutumwa Mukuru wekunaZvakazarurwa 10 aiburuka panyika apo Hama Branham vaive vachiri panyika.

Hama Branham havana kubvira vataura kuti Mutumwa akaburuka.

Mutumwa achiri kuuya nekuti aifanira kumirira kusvikira zvakavanzika zvapedziswa, zvakaitika apo hama Branham vakapedzisa kuparidza muna Zvita 1965. Saka hatizivi kuti Mutumwa Mukuru wekunaZvakazarurwa 10 achauya riini.

64-0112 SHAROMI SIERA .VISTA. AZ

Akandidzorera, akati nguva yaive yakwana kuti Zvisimbiso zvinomwe zvaive zvakatakura zvakavanzika zvinomwe zveBhaibheri, zvakasimbiswa nezvisimbiso zvinomwe. Uye kuti vatumwa pasi mumugwagwa, Vatumwa kuNguva dzeMakereke, vakazarura chikamu chaizvozvo. Asi munguva yechinomwe, mutumwa wechinomwe, zvakavanzika izvi zvose zvinopedziswa. Mutumwa wechinomwe panyika, mazviona, mutumwa uyu anotaurwa nezvake apa aive panyika. Mutumwa zvinoreva kuti “nhume”. Uye, mumashure maizvozvo, akaona mumwe mutumwa achiburuka panyika, kwete mutumwa wepanyika akapihwa mharidzo pano, asi (mumwe) mutumwa mukuru anobva Kudenga nemurarabungu pamusoro pake akaisa tsoka yake panyika nepamusoro pegugwa, akapika naiye anogara nekusingaperi, “Nguva haizovipo zve.”

Mutumwa Mukuru anoburuka chete mumashure mekunge zvakavanzika zvese zvapedziswa.

Mutumwa haaburuki kuzozarurwa zvakavanzika.

62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA

Asi uyu haana kubva panyika. Akaburuka kubva Kudenga, nekuti zvakavanzika zvese zvaive zvapedziswa. Kana zvakavanzika zvese zvapedziswa, Mutumwa akati, “Nguva haizovipo zve,” Kutinhira kunomwe kunobva kwareva manzwi ako.

Hama Branham vakapedzisa kuparidza zvakavanzika pakupera kwegore 1965. Saka Mutumwa Mukuru aisakwanisa kuburuka izvi zvisati zvaitika.

Kana mutumwa aizouya mumashure mekupedziswa kwezvakavanzika, hatizivi kuti Mutumwa wekuna zvakazarurwa Chitsauko 10 anouya riini.

1963_0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

Zvino pano anodzoka muchitsauko 10 mumashure menguva yekuuya, kuti zvakavanzika zvese zvipedziswe, uye kuti zvisimbiso zvizarurwe, achidanidzira kuti nguva haizovipo zve. Akati, “Nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa nguva yekuonekwa kweMutumwa yakusvika. Tava pedyo kwazvo, pedyo. Ndizvo chaizvo.

Mwedzi waive wakuda kukwana mumashure mekuonekwa kweGore, aive achiri akamirira kuti Mutumwa aburuke.

3-0321 CHISIMBISO CHECHINA

Zvino, Zvisimbiso zvinomwe zvakasimbisa Bhuku iyi, neZvisimbiso zvinomwe ... Zvino ...

Ipapo, mumashure mekupedziswa kwezvisimbiso zvinomwe, tinoona kuti kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 kwaive neKutinhira kunomwe kwakavanzika uko Johane akanzi anyore asi achibva arambidzwa kukunyora. Panguva yekutinhira uku, tinoona Kristu, kana Mutumwa achiburuka kubva Kudenga nemurarabungu, oisa tsoka yake panyika nemugungwa achipika kuti nguva inenge yapera.

Zvisimbiso zvinomwe zvinofanira kupedziswa Kutinhira kusati kwareva manzwi ako. Mutumwa Mukuru anoburuka panguva yeKutinhira.

Asi Zvisimbiso zvinomwe zvaive zvisina kupedziswa nekuti Chisimbiso chechinomwe nechisimbiso chechitanhatu hazvina kuzaruka.

63-1110M MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO

Chisimbiso chechinomwe chinomudzosa panyika.

64-0719M MUTAMBO WEHWAMANDA

Chisimbiso chechinomwe hachisati chazarurwa, munozviziva. Ndiko Kuuya Kwake.

Chisimbiso chechinomwe hachina kubvira chazaruka, saka Chisimbiso chechinomwe hachisati chamudzosa panyika.

Chisimbiso chechitanhatu chinozarurwa nemaprofita maviri munguva yeKutambudzika kukuru.

63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU

Vanokwanisa kuitira nyika pavanoda napo. Izvi zviri pano. Ndivo vanounza Chisimbiso cheChitanhatu ichi. Vanochifukunura nekuchizarura. Isimba raMwari rekushandura mamiriro ezvinhu panyika. Mazviona, Chisimbiso chechitanhatu, kushandurwa kwemamiriro ezvinhu panyika kwakazara.

Mazvibata here? Ndicho Chisimbiso chenyu. Ndiyani akachiita? Maprofita kune rumwe rutivi rwevasina kukwira Kudenga. Nesimba raMwari, Shoko raMwari, vanongoraira kunze. Vanokwanisa kutumira kudengenyeka kwenyika, kushandura mwedzi kuita ropa, zuva rinokwanisa kunyura kana chero chunhu kuitika zvichibva pakuraira kwavo. Amen.

Ndivo Mosesi naEria, nekuti hushumiri uhu hunodzoka zvakare: vose vari vaviri. Oh mai. Mazviona here zvino? Kuona kuti Chisimbiso chechitanhatu chii? Ndivo maprofita aya.

Zvino tarira. Ngazvisakuvhundutsai, asi tarirai kuti chii chinozarura chisimbiso: maprofita. Mazviona? Amen. Ndizvozvo. Oh, tiri kurarama munguva yegondo, hama, musoro uri kudenga pakati pemakore. Vakazarura chisimbiso chechitanhatu. Vane simba rekuita saizvozvo. Amen. Ndicho Chisimbiso cheChitanhatu chichiuya chakazaruka.

Chisimbiso chechinomwe hachina kubvira chazarurwa. Kana icho Chisimbiso cheChitanhatu.

Chisimbiso cheChitanhatu chakaziviswa chichinzi chinoreva nguva yeKutambudzika. Asi tinoziva zvishoma kwazvo nezvenguva yeKutambudzika. Hama Branham havana kubvira vazivisa Hwamanda nomwe, kana kuzivisa Ndiro nomwe. Tinoziva zvishoma kwazvo pamusoro peChitsauko 11 chaDanieri.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Chii, kuti nguva yasvika yekuti nguva haizovipo zve?

Mutumwa agadzirira kuisa tsoka panyika imwe mugungwa nemurarabungu pamusoro pake, netsoka, otaura kuti, “Nguva yapera”.

Apa panotaura nezvemutumwa zviri munguva inouya. Mutumwa ane tsoka. Paive pasina tsoka dzaionekwa paGore. Saka Gore iri harigoni kuva Mutumwa uyu.

63-1028 KUREGERERWA

Baba vedu vekudenga, tichiziva kuti zuva riri kunodoka zvakanakisa, nguva haizovipo zve, rimwe zuva Mutumwa Mukuru achasvika panzvimbo yenguva, achibva kusina nguva kusingaperi. Hwamanda yaMwari icharira, munhu mumwe nemumwe nemukadzi mumwe nemumwe tichadaira kune zvatinoziva kuti ndezvechokwadi, Shoko raMwari.

Kupera kwegore 1963, aive achiri kutaura nezvemutumwa zviri munguva inouya.

63-1110M MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO

“Akabva aona mutumwa uyu achiburuka panyika, akaisa tsoka yake panyika nepagungwa,” uyu aive Kristu, “Nemurarabungu pamusoro pake....” imwe tsoka panyika imwe pamusoro pemvura; akasimudza ruvoko rwake. Aive nemurarabungu pamusoro pake,” asi. Ndiyo sungano. Aive mutumwa wesungano, anova Kristu; akadzikisirwa zvishoma kudarika vatumwa, kuti atambudzwe. Uyo anouya,” anoisa mavoko ake Kudenga, achipika naIye anogara nekusingaperi-peri,” Asingagumi, Baba, Mwari, “kuti nguva haizovipo zve,” kana izvi zvaitika. Nguva inenge yaguma. Zvinenge zvapera. Zvapedziswa.

Saka Mutumwa aive asati aburuka negore 1963.

63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE

Zvakazarurwa Chitsauko 10 kubva pavhesi rekutanga kusvika pavhesi 7. nguva inopera. Mutumwa akati, “Nguva haizovipo zve,” mumazuva ekuitika kwechinhu chikuru ichi. Zvinhu zvese zvinoguma munguva, pakupera kweChisimbiso chechinomwe.

Kuburuka kweMutumwa Mukuru kwaive kuchiri kutaurwa mune zvichaitika.

1 VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa munaKristu vachatanga kumuka.

63-04-21 ZUVA REKUKUNDA

Tine kukunda. Takarwa kurwa kwakawanda. Kukunda kukuru kuri kuuya nekukasika, kwakutosvika. Zuva redu rekukunda rakazara rava pedyo, apo Mwanakomana waMwari achazarura matenga, odanidzira nenzwi remutumwa mukuru, anozouya zvakare. Makuva achazarurwa, vakafa vachabudamo vachifamba.

Mutumwa anoburuka kuzomutsa vakafa.

62-1230E ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA

Mumwe mutumwa aive nhume, munhu wepanyika. Asi Mutumwa uyu ... asi, uyu haana kubva panyika. Akaburuka kubva kudenga, nekuti zvakavanzika zvinenge zvapedziswa uye kana zvakavanzika zvapedziswa, Mutumwa anoti, “Nguva haizovipo zve,” Kutinhira kunomwe kunobva kwareva manzwi ako.

Chakanyanya kukosha. Bhuku yakazaruka yaive chiratidzo chekuti zvakavanzika zvese zvakapedziswa.

Mutumwa mukuru aizoburuka chete kana hama Branham vapedzisa zvakavanzika zvavo zvekuzivisa zvakavanzika zvinoda kuzivikanwa nemwenga.

Asi Hama Branham vakapedza zvakavanzika makore anodarika 50 akapfuvura.

Saka nei Mutumwa asati aburuka kuzomutsa vakafa?

Nekuti Mwenga haasati anzwisisa zvakavanzika.

Vanhu veMharidzo vakabviswa paMagwaro nevaparidzi vakagadzirisa mazwi avakabata paitaurwa vakamabatanidza kuita dzidziso. Pachinzvimbo chekudzoserwa kuzvitendero zveBhaibheri zvekereke yekutanga, vakapinzwa mufungidziro dzakagadzirwa pavanoedza kunzwisisa zvakavanzika zvisina kunyorwa muMagwaro. Rangarirai, masangano ese anotenda muzvinhu zvisina kunyorwa muBhaibheri. Saka vanotenda kuMharidzo, nefungidziro dzavo pamusoro pezvakavanzika zvisina kunyorwa, vanotori rimwe sangano. Kune masangano emakereke anodarika 45 000. akawandisa.

Saka Mutumwa akamirira Mwenga anogona kudzosera zvakataurwa nehama Branham kuMagwaro, otsigira zvaanotenda neBhaibheri.

Mutumwa achiri akamirira. Saka ndisu tiri pakutadza. Mutumwa anoona kuti hatigoni kutsanangura zvakavanzika nenzira dzeMagwaro. Saka Bhuku harina kuzaruka kwatiri

“Mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe”. Kwemakore makumi mashanu izwi rake riri kuedza kutidzorera kuBhaibheri. Asi vanotenda kuMharidzo vanozvidza Magwaro aya nekumhanyisana “Nezwi raMwari” vachishandisa zvakataurwa nehama Branham kutsiva Magwaro.

Mutumwa haagoni kuburuka kusvika kwaita vanhu vadzokera pakutenda kwekereke yekutanga, uye zvitendero zveBhaibheri zvenguva yekereke yekutanga.

63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU

Mutumwa wechinomwe, kana areva, zvakavanzika zvaMwari zvinopedziswa nekutaura kwake. Zvino kana raziviswa, Mutumwa anoburuka kubva kudenga, aive Kristu (Zvino rangarirai, mutumwa uyu ndewepanyika, inhume). Kristu anoburuka (Munomuona kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10), Anoisa tsoka panyika imwe mugungwa ...

Mutumwa anoburuka kana zvakavanzika zvese zvaziviswa.

61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 2

Akati, “Pamazuva enzwi ... panguva iyi, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa.” Kuti Mwari ndiyani uye akaratidzwa sei; apo chisimbiso ichi chinozarurwa, tinotanga sei kunzwisisa kuti aive Mwanakomana waMwari sei, aive Mwari pachake akaitwa nyama; uye zaruiro yekuti aive ani; inofanira kupedziswa Mutumwa asati aisa tsoka yake panyika nemugungwa achipika kuti “Nguva haizovipo zve” kana nguva iyi yasvika. Tava pachivanze chayo izvozvi. Mazviona?

Zvakavanzika zvinofanira kuziviswa kuMwenga Mutumwa asati akukwanisa kuburuka panyika. Hama Branham vaiziva zvavaitaura, asi vanotevera Mharidzo vakakanganisa kupfurikidza kubva paMagwaro, vakatevera munhu pachinzvimbo chekutsvaga zaruriro yezvakavanzika zvakanyorwa Mumagwaro.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Aive neBhuku rakazarurwa muruvoko rwake: ... (Zvino, Zvisimbiso zvaive zvazarurwa pano. Tiri kutozvizarura; asi izvi, zvinhu zvakazarurwa) ...

Kuna Zvakazarurwa 10 Bhuku yakazarurwa inoreva kuti Zvisimbiso zvese zviri zvinomwe zvaive zvazarurwa nenguva iyoyo.

63_0317E MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

Zvino pano anodzoka muchitsauko 10 mumashure menguva yekuuya, kuti zvakavanzika zvese zvipedziswe, uye kuti zvisimbiso zvizarurwe, achidanidzira kuti nguva haizovipo zve. Akati, “Nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa nguva yekuonekwa kweMutumwa yakusvika. Tava pedyo kwazvo, pedyo. Ndizvo chaizvo.

Akaramba achitaura nezveMutumwa zviri munguva inouya.

Mutumwa anoburuka mumashure mekuziviswa kwezvakavanzika. Zvakavanzika izvozvo zvichatigadzirira kumuka kwevakafa nekushandurwa kwemiviri yevapenyu vanenge vari panyika chinova chakavanzika cheMutumwa Mukuru.

Akati tava padyo nenguva yekuonekwa kweMutumwa. Asi Gore rakanga raonekwa mazuva gumi nemasere asati ataura izvi.

Saka Gore haringave Mutumwa Mukuru.

63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU

Ndinenge ndakutoda kuona Mutumwa akamira apo achitaura pakupedzisira kwemharidzo yemutumwa wechinomwe achiti, “Nguva haizovipo zve.” Mwenga uya akatendeka anobhururuka achinopinda mumawoko aJesu rimwe remazuva aya paanozomutora kuenda naye kumba kwaBaba. Ngatirangarirei zvinhu izvi patinofamba parizvino.

Akataura pamusoro peMutumwa muzvikamu zvezvinhu zvichaitika.

63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU

Asi Bhuku yakavharwa. Hakuna akabvira aziva zvachose. Vakaziva kuti raive Bhuku redzikinuro pariri ipapo, asi richazarurwa mumazuva ekupedzisira zvichibva kuna Zvakazarurwa 10. Mutumwa wechinomwe achapihwa mharidzo yaizvozvo, nekuti rinoti nemazuva enzwi rekereke yechinomwe --- remutumwa wechinomwe, kana akutaura, zvakavanzika zvaMwari zvese zvichapedziswa nekutaura kwake.

Zvino kana raziviswa, Mutumwa anoburuka kubva kudenga, aive Kristu (Zvino rangarirai, mutumwa uyu ndewepanyika, inhume). Kristu anoburuka (Munomuona kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10), Anoisa tsoka panyika imwe mugungwa, Murarabungu pamusoro Pake, meso, akaita se-- netsoka sembiru dzomoto, anosimudza ruoko rwake opika Naiye anorarama nekusingaperi-peri pachigaro chehushe, kuti nguva haizovipozve.

Ndinodzokorora izvi. Zvakavanzika zvinofanira kutanga kuziviswa kuMwenga. Ipapo chete ndipo panozokwanisa kudzika Mutumwa. Isu nguva yedu inoguma patinogamuchira miviri yekubwinya.

1963 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE

Zvino, zvino, munoona here pakuzarurwa kweChisimbiso chechinomwe ichi, chiriwo muchimiro chehushumiri hwemabasa matatu. Uhwu hwandinahwo ... ndichataura, uye ndakataura, kuti ndicho chakavanzika cheKutinhira kunomwe. Kutinhira kunomwe kudenga kuchazivisa chakavanzika ichi. Zvichave pakuuya kwaKristu chaipo, nekuti Kristu akati hakuna anoziva kuti achadzoka riini.

Mutumwa anoburuka panguva yeKutinhira kunomwe, zvichazivisa chakavanzika cheKuuya kwaKristu. Zviitiko izvi zviri munguva inouya.

63_0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

... Ndakaona mumwe Mutumwa Mukuru achiburuka kubva kudenga, akapfeka gore: Murarabungu ... uri pamusoro pake, ...

Zvino kana mukatarisisa ndiye Kristu (Mazviona?), nekuti muTestamente Yekare aidaidzwa kuti Mutumwa weSungano, ari kuuya kumaJuda, nekuti kereke inenge yapera ...

Munorangarira Mutumwa uya kuna Zvakazarurwa 1? ndizvo zvimwechete. Mutumwa inhume, inhume kuIsraeri. Mazviona? Kereke inenge yakwira kudenga. Mazviona? Zvino, kana kuti iri kugadzirira kukwira kudenga. Anouya kuzotora Kereke yake.

Mutumwa anouya kuzotora kereke iri kugadzirira kukwira kudenga mukubwaira kweziso.

Mutumwa inhumewo kuIsraeri mumashure mekukwira kudenga.

Mutumwa mukuru ane hushumiri huviri. Hwekutanga kukereke, hwechipiri kuIsraeri. Saka Mutumwa anoburuka pakupedzisira chaipo penguva yevaHedeni apo Mwari anobviswa kereke yevaHedeni achitendeukira kuvaJuda.

Saka Kutinhira kunomwe kunoreva kukereke zvese nekumaJuda.

63-0321 CHISIMBISO CHECHINA

Zvino, takamunzwa achiuya madeko nemunondo wake mukuru kuzouraya. Tinoona kuti anouraiwa neMunondo zvakare, Munondo weShoko. Shoko raMwari, rinopinza, munondo unocheka nekwese unomuvuraya, unomuwisira pasi zvakazara. Mirirai kusvikira kutinhira kunomwe kwareva manzwi ako kuboka rinogona kutora Shoko raMwari roriisa apo. Rinovedzenga nekucheka. Vanobva vakwanisa havo kuvhara matenga; vanogona kuvhara izvi neizvo, chero zvavada. Ngaarumbidzwe!

1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO CHEKUTANGA ZARURIRO YAJESU KRISTU

Zvino, Evangeri rinodzokera riini kumaJuda? Kana zuva remaHedeni rapedziswa. Evangeri rinenge rakukwanisa kudzokera kumaJuda. Oh, dai ndaingokwanisa kukuudzai chimwe chinhu chava pedo nekuitika muzuva redu rino. Chinhu chikuru ichi chava pedyo nekuitika chichayambukira kuna zvakazarurwa 11 chonotora vapupuri vaviri, maprofita maviri aya, Mosesi naErija, Evangeri rodzokera kumaJuda.

Zvinhu zvinobva zvaita sezvaoma kunzwisisa. Mutumwa Mukuru anowanikwawo pakuita kuti maJuda adzokere kunaMwari.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Zvakanaka, chinozivisa zvakavanzika izvi zvose zvaive munguva yakadarika, zvinhu zvese zviri munguva yakadarika.

Zvakazarurwa 10:1-7. Ndizvo zvichaitika.

Pano akaisa Zvakazarurwa Chitsauko 10:1-7 munguva inouya.

Zvakavanzika zvichaziviswa ndizvo zvakavanzika zvaiveko zvakarasika munguva dzemakereke. Hazvisi zvakavanzika zvisina kunyorwa zviri munguva inouya.

Izvi zvakaisa Mutumwa wekuna Zvakazarurwa 10: 1-6 munguva inouya. Asi ko Vhesi 7? riverengei zvakanaka.

ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaprofita.

Bhaibheri haritauri pamusoro pemazuva emutumwa wechinomwe paaive achiri mupenyu panyika. Rinoti “namazuva enzwi remutumwa wechinomwe”.

Muprofita akabva panyika makore anosvika 50 akadarika. Asi izwi rake kubva pamakaseti akatapwa achiparidza ratenderera pasi rese, riri muzvinyorewa, nepaIntaneti. Munguva iyi yezwi rake ndimo vatendi vanodzidza kubva kwaari kuti votevera magwaro sei muzvitendero zvavo, saka vanobva vadzokera pane zvakatendwa nekereke yekutanga. Vanhu vashoma kwazvo vanoziva kuti chii chaiitika hama Branham pavaive vachiri panyika vachitapa mharidzo dzavo vachiisa pamakaseti.

Izvi zvakafanana naJohane Mubapatidzi. Akazivisa Kristu, asi hushumiri hwaJesu hwakazotanga kuendeka mumashure mekufa kwaJohane. Saka hama Branham vakazivisa chokwadi cheMagwaro chakatendwa machiri nevekereke yekutanga. Asi mharidzo yake yakatozopararira mumashure mekufa kwake kuti itidzorere kuBhaibheri.

Murudo rwavo rwekuti vaonekwe sevakangwara, vaparidzi vemharidzo vakatora zviitiko zvenguva inouya vakazviisa mune zvakadarika. Vakatorawo zvakavanzika zvisina kunyorwa vakanyepera kuzivisa kuti zvairevei, zvisinei nekuti vaive vasina micherechedzo yekuturikira.

Mazano akaipa aya akabva akura achitsanangurwa zvisizvo. Vanotendesa vanhu kuti vanogona kuzivisa zvakavanzika zvese zviri muBhaibheri, kusanganisira zvisina kunyorwa”.

Saka vatendi veMharidzo vanoti vanoziva zvakarehwa nekutinhira kunomwe.

Vanoti vanoziva zvese zvekuti Zvisimbiso zvinomwe chii.

Vanoti vanoziva kuti Zita raJesu idzva nderekuti kudii.

Vanoti vanoziva kuti Jesu akauya riini.

Vanoti vanoziva kuti Mutumwa Mukuru akaburuka panyika riini.

Saka vakatora zviitiko zviri munguva inouya vakazviisa munguva yakadarika. Asi makore anodarika 50 akatodarika kubva pakatorwa mifananidzo yegore muna 1963. asi hapana zvizhinji zvakashanduka. Saka, zviitiko zvenguva inouya zvavakaisa munguva yakadarika hazvina chazvakavaburutsira. Vakaparidza “kutenda kwekukwira kudenga” kwemakore makumi mashanu akakwana asi havana wavakakwanisa kuita kuti akwire kudenga, kunyange zvazvo vakatoviga vatendi vakawanda.

Kukanganisa kuturikira zvakataurwa nenzira dzakasiyana siyana kwakaita kuti mapoka emharidzo apatsanurane mumiono yakawanda yakasiyana.

Asi pane chinhu chisipo. Kutevera Magwaro zvakazara.

Totenda dzidziso dzehama Branham tinogona kutsigira rubapatidzo rwemvura muzita raJesu Kristu, nezvakataurwa neBhaibheri pamusoro penyaya iyoyo. Hatifaniri kudzokera kune zvakataurwa nehama Branham zvinotidzidzisa chokwadi ichi.

Zvakafanana, tinogona kutsigira kuzara kwehuMwari kuti Jesu ndiye Mwari Wemasimbaose tichingoshandisa Magwaro chete. Hatifaniri kudzokera kune zvakataurwa zvinozivisa zvakavanzika zvekuzara kwehuMwari kwatiri.

Asi hapana pakati pedzidziso dzenhema dzakataurwa pamusoro apa inogona kutsigirwa neMagwaro. Imwe neimwe yadzo inobva pane zvakabatwa paitaura munhu zvakati kuti-- asi zvinofuratirawo kumwe kutaura kunopokana nemaonero iwayo. Hapana pakati padzo inokwanisa kutsigirwa nekushandisa Bhaibheri.

Saka vaparidzi veMharidzo vakatanga dzidziso idzi kupfurikidza kubvisa Magwaro. Zvakagara zvichiitwa nevemasangano. Ndicho chikonzero nei Jesu akamira kunze kwekereke yeRaodikia.

Jesu anotambira kuti, “Zvakanyorwa zvichinzi” chete.

Jesu haana imwe nzira yekupikisa nayo Satani.

Hazvina kukwanira kutaura kuti, “Ndine izvi zvandakabata paitaurwa”.

60-1113 KUPOMERWA NEKUMIRIRIRWA

Zvino ndinoona United States iri rasha, nzvimbo yakatsva. Zvichava pedyo nemagumo. (zvino ndine mafungiro kana maonero anguwo; “Ndinofungira kuti izvi zvichaitika.” Zvino rangarirai, Ishe ane ... Ndizvo zvaratidzwa naShe, asi “Ndinofungidzira kuti izvi zvichaitika gore 1977 risati rasvika.” ) Pafungidziro idzi, ndinovimba, nekuda kwezviitiko zviri kuitika zvizhinji zviri kuramba zvichiuya, nekukasika kwazviri kuita pakufamba kwazvo, nenguva yazvingatore kusvika nyika yawana nzvimbo yayo.

Hakuna achavaka pamusoro penheyo idzi zvachose.

Kukanganisa kunowanikwa. Tese tiri vanhu venyama. Zvigadzirisei mufambire mberi.

Tichipedzisa, ngatitarisei pane zvakataurwa zvinoonekwa nevanhu vemharidzo “sehumbowo” hwekuti Mutumwa akaburuka kubva kudenga gore 1965 risati rasvika.

Uku kutaura kunobva mubhuku “Ravelation of the Seven Seals”. (Zaruriro yeZvisimbiso zvinomwe”.

63-0317E MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

Kana Zvisimbiso zvazaruka zvakavanzika zvaziviswa, kunouya Mutumwa, nhume, Kristu, achiisa tsoka panyika nepamusoro pegungwa nemurarabungu pamusoro pake. Zvino rangarirai, Mutumwa wechinomwe anenge ari panyika nguva yeKuuya uku.

Izvi zvinoita sekuti hama Branham vaive panyika pakaburuka Mutumwa.

Asi Mutumwa anouya mumashure mekuzarurwa kweZvisimbiso (waive musi wa 24 Kurume 1963) zvakavanzika zvoziviswa (zvakavanzika zvakaziviswa kusvika musi wa 24 Zvita 1965 pakazofa Hama Branham. Saka Mutumwa anokwanisa chete kuburuka mumashure maizvozvo).

Saka pane zvisiri kunzwisisika zvakanaka.

Akasimbisawo kuuya “uku”. Kumwechete. Kumwe kuuya kungataurwe ndekupi?

63_0317E MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

Zvino pano anodzoka muchitsauko 10 mumashure menguva yekuuya, kuti zvakavanzika zvese zvipedziswe, uye kuti zvisimbiso zvizarurwe, achidanidzira kuti nguva haizovipo zve. Akati, “Nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa nguva yekuonekwa kweMutumwa yakusvika. Tava pedyo kwazvo, pedyo. Ndizvo chaizvo.

Apa anotaura nguva yekuuya kwezvakavanzika.

Saka kune kuuya kuviri kuripo.

Zvakavanzika zvinoburuka, mumashure mekuziviswa kwazvo Mutumwa anobva aburukawo.

Mutumwa anoburuka kana zvakavanzika zvaziviswa. Zvakavanzika izvi zvinotigadzirira kumutswa kwevakafa nekushandurwa kwemiviri yedu, chinova chakavanzika cheMutumwa mukuru.

Muprofita anofanira kuva panyika panoburuka zvakavanzika.

Mutumwa paanoburuka munguva inotevera tsoka dzake dzinotsika panyika nemugungwa, ipapo vatsvene vese kubva munguva nomwe dzemakereke (kusanganisira hama Branham) vanenge vachiri vakavigwa muvhu. Mumashure mekudanidzira kweMutumwa Mukuru nenzwi guru, Kuchema kwerumuko, ndipo pachamuka vatsvene vese kubva kumakuva vova PAMUSORO penyika.

Saka hapana pakati pevatsvene vakafa achava panyika panotanga kuuya Mutumwa mukuru pasi.

Saka ngatitarisei kuti chii chimwe chakataurwa nehama Branham pamusoro pekuuya kweMutumwa mubhuku “Revelation of the Seven Seals”.

63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE

Zvakazarurwa Chitsauko 10 vhesi 1 kusvika kuvhesi 7. Nguva inoguma. Mutumwa anoti “Nguva haizovipo zve,” mumazuva ekuitika kwechinhu chikuru ichi

Pakupera kweZvisimbiso Zvinomwe, hama Branham vaive vakatarisira Mutumwa kuti aizouya panyika munguva yaitevera.

63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU

Asi Bhuku yakavharwa. Hakuna akabvira aziva zvachose. Vakaziva kuti raive Bhuku redzikinuro pariri ipapo, asi richazarurwa mumazuva ekupedzisira zvichibva kuna Zvakazarurwa 10. Mutumwa wechinomwe achapihwa mharidzo yaizvozvo, nekuti rinoti nemazuva enzwi rekereke yechinomwe --- remutumwa wechinomwe, kana akutaura, zvakavanzika zvaMwari zvese zvichapedziswa nekutaura kwake.

Zvino kana zvaziviswa Mutumwa anoburuka kubva kudenga,

Mutumwa anoburuka chete kana zvakavanzika zvaziviswa.

Pakupera kwegore 1963 aive achiri akatarisira kuti Mutumwa aizouya.

63-0421 ZUVA REKUKUNDA

… Kukunda kukuru kuri kuuya nekukasika, kwakutosvika. Zuva redu rekukunda rakazara rava pedyo, apo Mwanakomana waMwari achazarura matenga, odanidzira nenzwi remutumwa mukuru, anozouya zvakare. Makuva achazarurwa, vakafa vachabudamo vachifamba.

Mutumwa anomutsa vakafa paanoburuka.

63-1028 KUREGERERWA

Baba vedu vekudenga, tichiziva kuti zuva riri kunodoka zvakanakisa, nguva haizovipo zve, rimwe zuva Mutumwa Mukuru achasvika panzvimbo yenguva, achibva kusina nguva kusingaperi. Hwamanda yaMwari icharira, munhurume mumwe nemumwe nemukadzi mumwe nemumwe tichadaira kune zvatinoziva kuti ndezvechokwadi, Shoko raMwari.

63-1110M MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO

“Akabva aona mutumwa uyu achiburuka panyika, akaisa tsoka yake panyika nepagungwa,” uyu aive Kristu, Aive nemurarabungu pamusoro pake.”... Aive mutumwa wesungano, anova Kristu; akadzikisirwa zvishoma kudarika vatumwa, kuti atambudzwe. Uyo anouya,” anoisa mavoko ake Kudenga, achipika naIye anogara nekusingaperi-peri,” Asingagumi, Baba, Mwari, “kuti nguva haizovipo zve,” kana izvi zvaitika. Nguva inenge yaguma. Zvinenge zvapera. Zvapedziswa.

Saka Mutumwa aive asati aburuka negore 1963. Nguva ichaguma kana mutumwa aburuka panyika. Izvi zvinoreva kuti muchapinda mumuviri wokubwinya unogara nekusingaperi.

64-0112 SHAROMI SIERRA.VISTA.AZ

Akandidzorera, akati nguva yaive yakwana kuti Zvisimbiso zvinomwe zvaive zvakatakura zvakavanzika zvinomwe zveBhaibheri, zvakasimbiswa nezvisimbiso zvinomwe. Uye kuti vatumwa pasi mumugwagwa, Vatumwa kuNguva dzeMakereke, vakazarura chikamu chaizvozvo. Asi munguva yechinomwe, mutumwa wechinomwe, zvakavanzika izvi zvose zvinopedziswa. Mutumwa wechinomwe panyika, mazviona, mutumwa uyu anotaurwa nezvake apa aive panyika. Mutumwa zvinoreva kuti “nhume”. Uye, mumashure maizvozvo, akaona mumwe mutumwa achiburuka panyika, kwete mutumwa wepanyika akapihwa mharidzo pano, asi (mumwe) mutumwa mukuru anobva Kudenga nemurarabungu pamusoro pake akaisa tsoka yake panyika nepamusoro pegugwa, akapika naiye anogara nekusingaperi, “Nguva haizovipo zve.”

Mugore 1964, aive chiri akatarisira kuuya kweMutumwa panyika.

Mutumwa mukuru aizouya chete kana zvakavanzika zvapedziswa. Hama Branham vakapedzisa kuparidza zvakavanzika pakupera kwegore 1965. Saka mutumwa mukuru aisakwanisa kuuya izvi zvisati zvapedziswa.

64-0119 SHAROMI

Asi, rangarirai, kana tikangopinda mumumvuri werufu, “Ndini Rumuko nevupenyu; ndichamumutsa zvakare.” Uye kana Mukuru wemasimba ose aburuka akaisa hoko iyoyo pasi, ipapo, “nguva haizovapo.” Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”

Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.

1964 – iri raive gore rimwechete mumashure mekuonekwa kweGore guru, Hama Branham anotaura pamusoro pekuburuka kweMutumwa Mukuru muzviitiko zvenguva inouya. Kana Mutumwa uyu aburuka panyika, kumutswa kwevakafa kunobva kwaitika. Izvi hazvisati zvaitika.

65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.

Mwedzi mumwechete asati afa izwi reMutumwa Mukuru raive richiri munguva inouya.

Saka Mutumwa haana kubvira auya hama Branham vachiri panyika.

 

Vaparidzi vemharidzo vakakanganisika sei padzidziso iyi?

Havaka kubvira vatarisa zvakataurwa kwekutanga nekwekupedzisira kwezvavakabata zvavanoshandisa.

63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
Zvino, asi i-- iBhuku, Bhuku rakavanzika. Ibhuku reDzikinuro. (Tichazvitarisa muchinguvana.) Zvino, tinoziva kuti Bhuku reDzikinuro harisi kuzonzwisiswa zvakazara: rinenge richingodarikirwa mukati menguva nomwe dzemakereke, asi pakupedzisira, kana Mutumwa wechinomwe atanga kutaura zvakavanzika zvake, anoruka zvese zvaive zvakasaririra zvisina kusimba zvakasiirirwa nevamwe vese, zvakavanzika zvinoburuka kubva kuna Mwari apo Shoko raMwari rinozivisa zaruriro yaMwari yakazara. Ipapo kuzara kwehuMwari nezvimwe zvese zvinojekeswa. Zvakavanzika zvese: Mwana wemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka nezvimwe zvese zvinoda kuziviswa zvisina kujeka.

[Kune kuuya kuviri. Kwekutanga, zvakavanzika zvinoburuka kumutumwa wechinomwe kuti azvizivise.]

Zvino, muri kuona, handisi kutaura zvemusoro wangu. Ndizvo ... ndizvo ZVANZI NAJEHOVA. Ndichakuverengerai kubva muBhuku: nemazuva emharidzo yemutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa ndizvo zvakataurwa nemuprofita wake mutsvene. Ndiwo maprofita akanyora Shoko. Pakureva kwenguva yekereke yechinomwe, nguva yekereke yekupedzisira, zvese zvakasaririra mukati menguva nomwe dzemakereke idzi zvaitarisirwa pasi, zvicharukwa zvakare pamwechete. Uye kana Zvisimbiso zvazarurwa zvakavanzika zvaziviswa, ndipo panoburuka Mutumwa, Nhume Kristu, achisvikoisa tsoka yake panyika nemugungwa nemurarabungu pamusoro pake.

[Mumashure mekuziviswa kwezaruriro yese, Mutumwa anoburuka panyika.]

Zvino rangarirai, mutumwa wechinomwe uyu anenge ari panyika panguva yekuuya uku.

[Kuuya kumwechete. Kuuya kupi? Kuuya kwezvakavanzika kana kuuya kweMutumwa?]

Ngatitarisei ndima nhatu dzinotevera.

... Zvino pano anodzoka muchitsauko 10 mumashure menguva yekuuya, kuti zvakavanzika zvese zvipedziswe, uye kuti zvisimbiso zvizarurwe, achidanidzira kuti nguva haizovipo zve. Akati, “Nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa nguva yekuonekwa kweMutumwa yakusvika. Tava pedyo kwazvo, pedyo. Ndizvo chaizvo.

[Mutumwa anouya mumashure mekupedziswa kwezvakavanzika, muna Zvita 1965]

Saka muprofita aifanira kuva ari panyika panoburuka zvakavanzika.

Uku kwaive kuuya kumwechete. Akafa paakapedza zvakavanzika.

Mutumwa haana kuburuka kusvika muna Mbudzi 1965, waive Mwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake.

Saka Mutumwa haana kuburuka achiri mupenyu ari panyika.

Saka Mutumwa achaburuka hake.

Hatizivi kuti riini.

Chidzidzo chatinofanira kudzidza: Musafe makavaka dzidziso kubva pamazwi amunobata anobva mumuromo memunhu.

Pachinzvimbo shandisai mazwi amunobata kuzivisa zvakanyorwa muMagwaro.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23