Tinoziva zvakavanzika zvese here? Chikamu 1: Zvakavanzika 11 zvisina kubvira zvataurwa nehama Branham kuti vanoziva nezvazvo.
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
- Chakavanzika 1
- Chakavanzika 2
- Chakavanzika 3
- Chakavanzika 4
- Chakavanzika 5
- Chakavanzika 6
- Chakavanzika 7
- Chakavanzika 8
- Chakavanzika 9
- Chakavanzika 10
- Chakavanzika 11
Chakavanzika 1. Hatizivi kuti Ishe anouya riini.
Chakavanzika 2. Hatizivi kuti Hwamanda icharira riini.
Chakavanzika 3. Hatizivi kuti Hwamanda nomwe dzinorevei.
Chakavanzika 4. Hatizivi kuti Ndiro nomwe dzinorevei.
Chakavanzika 5. Hatizivi chakavanzika cheChisimbiso chechinomwe.
Chakavanzika 6. Hatizivi kuti kutinhira kumwechete kwekuna Zvakazarurwa 6:1 kunorevei.
Chakavanzika 7. Hatizivi kuti rumuko ruchava riini.
Chakavanzika 8. Hatizivi kuti nguva ichaguma riini.
Chakavanzika 9. Hatizivi kuti Mwenga achatorwa riini kukwira Kudenga (zvinowanzodaidzwa kuti Repucha.)
Chakavanzika 10. Hatizivi zvakataurwa neKutinhira kunomwe.
Chakavanzika 11. Hatizivi kuti nyasha dzichagumiswa riini.
Chikamu chechipiri chechidzidzo chino chinotarisa zvimwe zvakavanzika zvitanhatu.
Makore makumi mashanu ekufungidzira nendangariro dzine kakuchenjera akazanganisa zvakabatwa paitaurwa zvekuti izvozvi vanotenda kumharidzo vanodaidzwa kuti (mamassage belivers) vakuzviti vanoziva nyaya dzisina kubvira dzanzi nehama Branham vanoziva. Vanotenda kuMharidzo izvozvi vakutarisa nemuchidzitiro chakasakadzwa chezvakabatwa paitaurwa zvakagadziriswa chinoratidza gapu remafungiro evanhu, asi mafungiro aya haafambirane neMagwaro.
MaKristu nhasi, kubva kwese kumapoka emharidzo nemasangano, vose vanoramba chokwadi chekutevera zvavanotenda mumavhesi eBhaibheri. Nekuti havatokwanisi. Saka kugadzirisa zvakabatwa paitaura vanhu vachizvibatanidza kuita dzidziso yakaitwa nevanhu zvinovaita kuti vanzwe kuti vakachenjera uye iboka rebato rakasarudzika. Izvi zviri nyore kwazvo kuita pachinzvimbo chekuedza kubatanidza Magwaro pamwechete kuti vatsigire dzidziso dzavo.
Chidzidzo chino chinoratidza kuti mhedzisiro yakazotarwa nevanotenda kuMharidzo kubva pakukanganisa kwavo kuturikira kumwe kutaura kwehama Branham inorwisana zvakazara nekumwe kutaura kwakaitwa nehama Branham mumakore matatu ekupedzisira ehushumiri havo.
RUKA 11:35 Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.
Kana zvamunotenda zvisingagoni kutsigirwa neBhaibheri munenge muchiparidza rima.
Zvakavanzika zvinokwana gumi nezvinomwe zvichataurwa nezvazvo, nemazwi akabatwa paitaurwa (kunyanya zvakataurwa kubva gore 1963 kusvika 1965) zvichataurwa zvinorwisa zvakazara pfungwa yatinogona kuziva yekugadzirisa zvakavanzika izvi.
Izvi zvakavanzika hama Branham vakati havazvizivi. Saka munotaura chete zvakataurwa nemuprofita, hamuzozivi zvakavanzika izvi kana kutambisa nguva yenyu muchiedza kuzvigadzirisa.
Hushumiri hwake hwaive husiri hwekuzivisa zvakavanzika zvitsva. Hushumiri hwake hwaive hwekutaura paive pakanyarara Magwaro. Hushumiri hwake hwaive hwekudzorera zvakavanzika zvaizivikanwa nekereke yekutanga, asi zvakazorasika munguva yekurasika kubva paMagwaro muNguva dzeRima. Vamutsiridzi vakadzorera chimwe chokwadi asi havana kugona kuzivisa zvakavanzika zvakarasika zvese izvi.
II VATESARONIKA 2:3 Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi: nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa.
MATEO 17:11 Akapindura, akati: Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
Hama Branham vachavandudza zvinhu zvese zvaive munguva yekereke yekutanga. Hakuna nzvimbo yeumwe munhu yekuti amutsive kuhushumiri hwekudzorera kana kuvandudza.
Kereke yekutanga yaisaziva zvakavanzika zvisina kunyorwa mumicherechedzo muBhaibheri. Saka nesuwo hatifaniri kuiziva, kana tichizodzorerwa pakutenda kwekereke yekutanga.
1965 NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA
... Shoko risingatadzi rinoti iye (muprofita) achazivisa zvakavanzika kuvanhu venguva yekupedzisira, otendeutsira moyo yevana kumadzibaba.
Kune vaya vanoti vanhu vaMwari vachabatana nekuda kwezaruriro yakabatanidzwa. Ndinokwikwidza kutaura uku. Uku kutaura kwakashinga, asi kusingarevi chinhu pachiso chaZvakazarurwa 10:7
Muprofita wenguva yekupedzisira haazivisi zvakavanzika zvitsva. Anotidzosera kune zvakatendwa nevenguva yekereke yekutanga. Anokwanisa kuwedzera zaruriro mune zvakanyorwa muBhaibheri, asi haagoni kuzivisa zvakavanzika zvisina kunzwisiswa nevenguva yekereke yekutanga nekuti hazvina kunyorwa muBhaibheri.
Vateveri vehama Branham havatenderwi kuita zaruriro yakasanganiswa pamusoro pezvakavanzika zvisina kunyorwa.
Chipo chake chekuzivisa zvakavanzika zvemoyo yevanhu chaivepo kumuratidzira sendiye aikwanisa kuzivisa Zvakavanzika zveMagwaro zvisina kugona kunzwisiswa nevamutsiridzi.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Vamwe vamutsiridzi, asi nekuti vaive vanhu vakuru munaMwari, vachiona zvaidiwa pazuva ravo, vakaunza rumutsiridzo ... asi Zvakazarurwa 10 inoti mharidzo yake yaive yekuzivisa kwete kumutsiridza, kuzivisa zvakavanzika, kuzivisa zvakavanzika. Ishoko mumunhu. Vaheberu 4 inoti Shoko raMwari rakapinza kudarika munondo unocheka nemativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nemweya, namafundo nomwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo. Mazviona? Munhu uyu haasi mumutsiridzi, muzivisi, muzivisi wechii? Zvakavanzika zvaMwari. Kereke painenge yazvibatanidza zvese nekuita zvipi nezvipi, anouya neShoko raMwari ozivisa chinhu ichocho, nekuti ariko kudzorera kana kuvandudza kutenda kwevana kuvadzosera kumadzibaba. Kutenda kweBhaibheri kwekutanga kunofanira kudzorerwa nemutumwa wechinomwe.
Zvino, ndinozvida kwazvo izvi. Zvakavanzika zvese zveZvisimbiso zvisina kubvira zvanzwisiswa zvakazara nevamutsiridzi ... mazviona?
Zvakavanzika zveBhaibheri zvakaziviswa nehama Branham ndezvekuti kudii?
Zvakavanzika zvakatendwa nekereke yekutanga zvakarasika muNguva dzerima uye zvisina kunzwisiswa zvakazara nevamutsiridzi. Vamutsiridzi vakadzosa zvimwe zvakavanzika zvakaita sekuponeswa nekutenda, kurarama muhutsvene, kuparidzira nekugamuchira rubapatidzo rweMweya Mutsvene. Asi kwaive nezvimwe zvakavanzika zvakawanda zvakafanana nekuzara kwehuMwari, rubapatidzo rwemvura, nguva nomwe dzemakereke, chivi chekutanga, chiratidzo chechikara chemasangano nezvimwe zvakadaro. Zvavasina kubvira vafungidzira.
64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO 3
Uye kana Zvisimbiso Zvinomwe zvichifambirana nenguva nomwe dzemakereke, zvinofanira kuva zvakatodarika, nekuti tiri munguva yekereke yeRaodikia ... uye Zvisimbiso Zvinomwe zvaingozivisa zvavaive vasiirira mumashure, zvikazarura zvese zvavaive vasiirira: zvakasiiwa naLuther, zvakasiiwa naWesley, nevamwe vamutsiridzi vese, nevePentekositi kusvika pari nhasi.
Anokwanisa chete kuzivisa zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA?
Zvichibva paShoko raMwari, mutumwa wechinomwe achapedzisa, Mharidzo yechinomwe ichapedziswa, kwotevera Kutinhira Kunomwe. Achibva aona dombo remusoro wekona richipfiga pamusoro.
... Zviri kunze, Bhuku rapedziswa. Haana kuti, “Kumberi.” akati, “kunze,” kana rapera rese, zvapera.
Zvino, kureva kweKutinhira Kunomwe ndicho chinhu chega, chakanamirirwa paBhuku, chisina kuzarurwa.
“Asi namazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvakanyorwa muBhuku zvichapedziswa.”
ZVAKAZARURWA 5:1 Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.
Maive makanyorwa mukati meBhaibheri nekunze, kunze kwekavha raro. Zvisimbiso zvinomwe zvakasimbisa zvakanyorwa mukati, zvaifanira kuziviswa nehama Branham. Kunze zvinoreva kuti Bhaibheri raive rapedza kunyorwa rakakwana. Zvakavanzika zvese zvakanyorwa mukati zvaive zvaziviswa. Ipapo munobva maenda kumashure kunze kusina chakanyorwako. Zvisimbiso zvinomwe zvisina kunyorwa izvi ndiko Kutinhira kunomwe kunosimbisa zvakavanzika zvisina kunyorwa zvinoti:
Kutinhira kunomwe, Chisimbiso chechinomwe, Zita idzva raJesu, zita rako idzva uye Kuuya kwaShe.
Zvakavanzika izvi zvese hazvina kunyorwa muBhaibheri, zvakavanzwa muBhaibheri nenzira yatisingagoni kurangarira. Hazvisi micherechedzo inogona kuturikirwa kana kutsanangurwa. Saka hatigoni kuziva zvakavanzika izvi.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA?
.... zvakanyorwa muBhuku. “Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaprofita.” Zvinopedziswa, muzuva iroro. Hama Branham vanozivisa chete zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri. Micherechedzo yakaita semutasvi webhiza, waanokwanisa kuturikira uye zvinokwanisa kurongedzera Mwenga kuti agadzirire Kuuya kwaShe.
64-0726 KUZIVA ZUVA RAKO NEMHARIDZO YARO.
Takatarisa Kwaari mangwanani ano kuti azivise zvinhu izvi zvakanyorwa muBhuku, nekuti iBhuku reDzikinuro. Zvese zvakadzikinurwa zvakanyorwa imomo.
Paive negore rimwechete nehafu raive rasara kuhushumiri hwehama Branham asi vaisimbisa kuti kuzivisa zvakavanzika zveShoko rakanyorwa ndiko kwaive kwakakosha.
64-0719 MUTAMBO WEHWAMANDA
... mumwe akati, “Zvakanaka, Zvisimbiso Zvinomwe, zvino, hama Branham, zvichaziviswa mumazuva ekupedzisira, zvakavanzika zvikuru kuti toswedera sei kuna Mwari? Kwete, baba, hazvigoni kudaro.
“Ani nani achabvisa Shoko rimwe kubva muBhaibheri, kana kuwedzera Shoko rimwe kuBhaibheri, anobviswa, kubva muBhuku reHupenyu.” Zaruriro yezvakasiirirwa kumashure uko, inounza chii. Zvakatonyorwa kare pano. Zviri Muno. Kuti zvizivise zvakanyorwa kare. Mazviona? Nekuti, hamugoni kuwedzera chinhu chimwechete kwariri, kana kubvisa chinhu kwariri.
Hama Branham aitarisa kurudziro yake kubva mune zvakanyorwa muBhaibheri.
64-0816 KUTSIGIRA SHOKO RAKE
Lee Vayle ... Ndinoda kuti mutarise zaruriro yangu pamusoro peMbeu yeMhuka yakatukwa ikazoshanduka kuita nyoka ... ... Ndine shoko, ndichafamba naro, Chimwe chinhu chinobva chandibata. Ipapo ... Kana ndikaziva kuti ndiMwari, ndichachitora ndochitsvaga muMagwaro. Zvino ndinenge ndine ... hazvingapotsi, asi, Kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa, kunofamba chokwadi, zvisinei nekuti vanhu vanofungei pamusoro pacho. Uye zviri kutonyanya kudarika pakutanga kubva paZvisimbiso zvinomwe. Mazviona, ndizvo zvakazviita nguva iya.
Hama Branham vaitsvaga zviratidzo zvavo kupfurikidza kuronda gwara razvo muBhaibheri.
Ngatitarisei zvaakataura kubva gore ra1963 kusvika gore 1965, makore matatu ekupedzisira ehupenyu hwake.
Chakavanzika 1
Vamwe vanhu vemharidzo vanoti gore guru remuna 1963 raive kuuya kwaShe.
65-1206 ZVIITIKO ZVEMAZUVA ANO ZVINOJEKESWA NECHIPROFITA
Chiedza chemadekwana chakavimbiswa nemuprofita waMwari, kuna Zakaria 14:7, chinogona zvakare kuzarura meso evatendi vechokwadi kuzviitiko zviri kuitika nhasi, zvinotsigirwa nezvakaprofitwa zvekuti tasvika kumagumo.
Jesu ari kuuya.
Iri raive gore 1965, mMwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake, asi aive achiri akatarisira Kuuya kwaJesu.
Kana Jesu achiri kuuya, saka hatizivi kuti achauya riini.
Achitaura nezvaJesu seDombo reMusoro wekona. Anoisa Kuuya kwemusoro wekona munguva inouya.
63-0608 MAGUNGANO
Regai Moto uyu uuye kuMoto, uye, mumashure mekanguvana, muchaona kuti, uchafambisa izvozvo. Unouya kupfurikidza Luther, Wesley, Pentecost. Toona kuti, piramidhi richafukidzwa, rimwe remazuva.
63-1229 PANE MUNHU ARI PANO ANOGONA KUTUNGIDZA MWENJE
Zvino, tarirai, pachinoenda mberi chinokura, chichikura. Ndizvowo nevakarurama, vashoma veKereke vakakudzwa kubva pakururamisirwa, kunatswa, rubapatidzo rweMweya Mutsvene, kusvika zvino pakuuya kweDombo remusoro wekona, richizvigadzira. Kunenge kusisina mapato mumashure meizvi. Kunenge kusisina. Mazviona, hazvigoni, mazviona, tiri kuMadokero.
65-1128 NZVIMBO YAMWARI IMWECHETE YATAKAPIHWA YEKUNAMATIRA.
Imwe nguva Dombo remusoro wekona richadzoka, Musoro wazvo zvese, ozvitambirira Mwenga; sezvo mukadzi akatorwa kumurume, mbabvu yemurume.
Mwedzi mumwechete asati afa Dombo remusoro wekona raive risati rauya.
65-0410 CHISIMBISO CHEPASEKA
... Nekuti takatarisira Kuuya kwaShe.
Mugore 1965, gore rekupedzisira rehupenyu hwake, hama Branham vaive vachiri vakatarisira Kuuya kwaShe.
65-1125 KUBATANIDZWA KUSINGAONEKWE KWEMWENGA WAKRISTU.
... tiri kuedza kuenda mundangariro dzakadzama nezvinangwa zvepamusoro-soro, tichitenda kuti kuuya kwaShe kwasvika. ... iyezvino takutarisira Kuuya kwaShe, munguva yedu. Handina kutarisira kumutsiridzwa munguva ino. Ndakatarisira Kuuya kwaShe, munguva yedu.
65-0725 CHII CHINOKWEZVA MESO PAMUSORO PEGOMO
Tinotumira rukwaziso pamusoro pegomo, Prescott, Arizona, kuhama Leo Mercier neboka rake riri pamusoro pegomo vakarindira Kuuya kwaShe. Tinotumira kwaziso kune avo vari kuTucson, vakaungana manheru anhasi, vakamirira Kuuya kwaShe. Zasi kuHouston, Texas, kune avo vakamirira Kuuya kwaShe. MuChicago, kune avo vakamirira Kuuya kwaShe. Kumusoro kumahombekombwe ekuMabvazuva, New York neConnecticut, nemapoka makuru ari ikoko, vakamirira Kuuya kwaShe. ... Hama Ruddell, kumusoro pasixty-two, neboka rake, vakamirira Kuuya kwaShe.
And we're gathered here tonight at the home church, the tabernacle, waiting for the Coming of the Lord. Takaungana pano manheru ano pakereke yepamusha, paTabernakeri, takamirira kuuya kwaShe.
63-0324 CHISIMBOSO CHECHINOMWE
... hakuna munhu anoziva kuti Ari kuuya rini. Asi kuchaita manzwi manomwe eKutinhira achazivisa zaruriro huru panguva iyoyo.
Ishe vaifanira kunge vasvika negore 1965 saka Kutinhira kunomwe kwaive kusati kwareva ipapo.
... Zvino, zvino, munoona here pakuzarurwa kweChisimbiso chechinomwe ichi, chiriwo muchimiro chehushumiri hwemabasa matatu. Uhwu hwandinahwo ... ndichataura, uye ndakataura, kuti ndicho chakavanzika cheKutinhira kunomwe. Kutinhira kunomwe kudenga kuchazivisa chakavanzika ichi. Zvichave pakuuya kwaKristu chaipo, nekuti Kristu akati hakuna anoziva kuti achadzoka riini.
Hakuna munhu anokwanisa kutaura kuti Ishe vakatouya nekuti hakuna anoziva kuti Ishe anouya riini.
64-0417 ZVINO JESU AKAUYA AKADAIDZA
Kudzikinurwa zvinoreva kuti “kudzoswa kubva kwazvakawira.” Murudzi rwevanhu, aive awira muzvivi. Uye haagoni kuzvibvuma izvozvi; achiri muduku zvakanyanya. Saka kereke ichangoendererawo saizvozvo, ichingoitawo saizvozvo, ichaita misangano, nezvimwe zvakaro, kusvikira munhu wekupedzisira aunzwa, zvino Bhuku iya inobva yazarirwa, hakuchina anozonyorwamo. Ipapo zvinenge zvaguma.
Kusvikira, nguva iyoyo ichava riini, hakuna pakati pedu anoziva. Asi ngatirambei tichiita zvese izvo tinogona, pakukudzwa kwake, kusvikira nguva iyo yapera. Hatizivi kuti munhu iyeye ndiyani. Inogona kuva yakatokwana, tangomirira Kusvika kwake chete. Hatizivi. Uye hazvimboziviswi kuvanhu, nguva yeKuuya kwake. Hatizivi. Uye hazvifi zvakaziviswa kuvanhu, nguva yeKuuya kwake, nekuti chero vatumwa veDenga havazivi kuti zvichava riini. Asi takazvitarisira chero nguva, uye takamirira, takarindira Kuuya kwake.
64-0112 SHAROMI
Ari kuuya riini? Handizivi, asi achauya ... asi zvisikwa zvese zvichashandurwa! Zvese zvakafuka kuvora zvichafuka kusavora. Machembere achava vaduku zvakare. Amen. Zvakanaka, zvichava zvakadii nguva iyoyo? Handizivi, asi zvichava sekudaro.
64-0409 KUZIVIKANWA KWAKRISTU MUNGUVA DZESE
Tarira, ko kana munhu akapinda muno ainemavanga ezvipikiri mumavoko ake, nezvinhu chiso chake chese neropa, nezvimwe zvakadaro? Chero munhu anogona kuita izvozvo. Uye rangarirai, Jesu haauyi saizvozvo. Kana akauya saizvozvo, nguva inenge yaguma. Kunenge kusisina nguvakana auya saizvozvo.
Asi mungazive sei kuti aive iye aive auya kana azouya? Nekuti anozozvizivisa neMweya wake, chiratidzo chake, neHupenyu hwake mamuri. “Ndini Muzambiringa, imi muri mapazi”. Jesu paanouya tichava nemiviri yakafuka kusavora seWake. Mweya wake mutsvene uchava matiri. Jesu achauya muMuviri wenyama unemavanga ezvipikiri.
64-0403 JEHOVA JIREH.2
Munhu anogona kusvika pano nemavanga ezvipikiri mumaoko ake, nezvidhindo zveminzwa oti, “Ndini Ishe.” chero munhu anogona kudaro. Asi, Hupenyu! Muviri waShe Jesu ugere kurudyi kwehumambo; paanouya, nguva inenge yaguma, muviri iwoyo paunodzoka panyika. Asi Mweya wake uri pano, hupenyu hwake huri kupa humbowo hwekuti ari pano. Mazviona? Ndichava nemi, chero mamuri, kusvika pakuguma kwenyika.”
63-1216 TAKAONA NYEREDZI YAKE TAUYA KUZOMUNAMATA
Uye rangarirai kuti hakuna rima rinogara pane chiedza. Chiedza chine simba guru kudarika rima, kusvika pakutadza kumira muhuvepo hwacho. Rima harigoni kumira zuva parinotanga kupenya, nekuti zuva rakakura kwazvo, chiedza chezuva, kuti chinobvisa rima, rinobva rapera.
Pasi rino rizere rima, rimwe zuva, richava chiedza chega. Jesu Kristu Zuva revakarurama richadzoka, ipapo rima harizovepo zve. Kusvika nguva iyoyo, sekutarira kwatinoita nguva yehusiku tichiona mwedzi uchipenya ...
Hatizozivi rima zvakare pahuvepo hwake.
63-0825 NDINGAKUNDE SEI
“Vaya vanotarisira Kristu kechipiri,” izvozvo zvinogona kukurira zvinhu zvenyika ino, nenyasha dzake, kuuya maari, movhara meso enyu kune zvimwe zvinhu zvese asi kwaari chete neShoko rake, “Achaonekwa kechipiri mukubwinya.”
“Nekuti hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa; vaya vanenge vachiri vapenyu vachashandurwa, pakarepo, mukubwaira kweziso, vachitorwa kukwira kudenga pamwechete kunosangana naye mumakore.”
… Nokuti tiri kutenda kuti “nguva iri kupera” zuva riri kunyura zvinyoro-nyoro kumadokero, zvino nekukasika zvichave “nguva haizovapo.” Nguva nehupenyu husingagumi zvichabatana apo Mwari nevanhu vake vanobatana. Tononamata, Mwari, kuti, panguva iyoyo, tichaverengwawo pakati peavo vachabatanidzwa naKristu, vanodaidzwa kuti Mwenga wake.
Kune hwamanda yatinofanira kunzwa nyange zvazvo tisingazivi kuti chimbori chii.
Nguva inoguma patinogamuchira miviri yedu inorarama nekusingagumi yakafanana nemuviri waJesu watinoona.
63-0802 KUTSUNGIRIRA
… Ndivanani vakarindira kuuya kwaKristu akarurama.
… Takatarisira kuti muuye nekukasika, Ishe, kuzogamuchira Hushe hwenyu hukuru huri pano, kunenge kusisina nhamo kuchema kana rufu.
Chero munhu anoti Ishe akauya haasi kuverenga kutaura kwakasiyana-siyana kwakataurwa nehama Branham mumakore matatu ekupedzisira ehupenyu hwake.
Chakavanzika 2
Hapana chatinoziva pamusoro pehwamanda yekupedzisira
63-0818 NGUVA YEKUBATANA NECHIRATIDZO CHACHO
Kana Hwamanda yaMwari yorira, nguva haizovipo zve,
Mangwanani anouya Asingagumi akajeka akanaka;
Apo vakafa muna Kristu vanomutswa vogara kune rumwe rutivi (neMwenga anorarama), vachizotorwa kukwira kudenga pamwechete.
64-0206B MHERE
Mhere huru iri kuuya mberi kwedu, “Hwamanda yaShe paicharira, nguva haizovipo zve; mangwanani anenge asisina magumo, anenge akajeka akarurama.” Panouya rumuko, tikatorwa pamwechete, kunosangana naye mumakore, ndipo pachauya mhere yekupedzisira, patinoenda kunova naye. Kusvikira ipapo, ngativei varanda vakatendeka kuShoko raMwari, Kristu.
Tinofanira kurarama neMagwaro.
Hatizivi kuti Hwamanda yaShe yenguva inouya icharira rini.
64-0726M KUZIVA ZUVA RENYU NEMHARIDZO YARO
… Nokuti tinodanwa kunoungana pamwechete kuti tinzwe kureva kweHwamanda. “Nokuti Hwamanda yaShe icharira, ipapo nguva haizovipo zve”.
63-1028 KUREGERERWA
Baba vedu veKudenga, tichiziva kuti zuva riri kunodoka zvakanakisa, nguva haizovipo zve, rimwe zuva Mutumwa Mukuru achasvika panzvimbo yenguva, achibva kusina nguva kusingaperi. Hwamanda yaMwari icharira, munhurume mumwe nemumwe nemukadzi mumwe nemumwe tichadaira kune zvatinoziva kuti ndezvechokwadi, Shoko raMwari.
63-0825M NDINGAKUNDE SEI
“Kune avo vari kutsvaga Kristu kechipiri,” vanogona kukurira zvinhu zvenyika ino, nenyasha dzake, kuuya Maari, movhara meso enyu kune zvimwe zvinhu zvose kunze Kwake iye chete neShoko rake, “Achaonekwa kechipiri Mukubwinya.”
“Nokuti Hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa; vachiri vapenyu vachashandurwa, pakarepo, mukubwaira kweziso, votorwa pamwechete, kunosangana Naye kumakore”.
… Nokuti tiri kutenda kuti “nguva iri kupera” zuva riri kunyura zvinyoro-nyoro kumadokero, zvino nekukasika zvichave “nguva haizovapo.” Nguva nehupenyu husingagumi zvichabatana apo Mwari nevanhu vake vanobatana. Tinonamata, Mwari, kuti, panguva iyoyo, tichaverengwawo pakati peavo vachabatanidzwa naKristu, vanodaidzwa kuti Mwenga wake.
Kuchave nehwamanda panguva yerumuko. Zviri munguva inouya saka hatizivi kuti chimbori chii kana kuti zvichareva rini.
Tarirai: Hwamanda imwechete ndeyeyambiro.
NUMERI 10:4 Kana vachiridza imwechete, zvino machinda vari vakuru vezvuru zvavaIsraeri vanofanira kuvungana kwauri.
5 Kana muchiridza, mapoka okurutivi rwamabvazuva, anofanira kusimuka vafambe.
Trump akasarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica mugore 2016. Akashamisa munhu wese, kusanganisira vanotenda kumharidzo nevafundisi vavo vakakanganisa kuturikira zvakataruwa vachiti Hillary Clinton aizokunda musarudzo idzodzo.
Kukanganisa ipapo kunoratidza kuti vafundisi ivavo vanoziva zvinhu zvishoma kwazvo kupfurikidza kuturikira kwavanoita zvakataurwa.
Vamwe vevafundisi ava (mapasita) vakafungidzirawo kuti America yaizoparadzwa mugore 1977. Vakavimba nekutaura kwakaitwa chaiko asi vakatora fungidziro isiyo kubva pakuri.
Chidzidzo chekudzidza ipapo ndechekuti hatifaniri kuvaka kutenda kwedu pane zvakataurwa nemunhu, asi pakudzorera zvaataura kuMagwaro. Hama Branham vaifungidzira kuti vatumwa vanomwe ndivo vakaita Gore guru pavakabva pavari mugomo reSunset Peak. Akaita fungidziro zhinji kubva pakutaura ikoko. Pakupedzisira zvakazobuda pachena kuti, vanhu pavakaongorora zvakazara, vakaona kuti vatumwa vaive vauya mazuva masere mumashure mekuonekwa kweGore guru nekutorwa kwaro mifananidzo. Saka tarirai zvaakataura zvakanaka muone kana zvaive zvechokwadi.
58-0928E MBEU (MWANA) YEMHUKA YAKATUKWA IKASHANDUKA KUITA NYOKA
Mumashure merufu rwevapostora, kwakauya madzibaba eNecene, vakaenderera mberi kwemakore akawandisa (makore mazana matatu nemakumi mashanu) vaakazoenda kuNicaea, kuFrance kwavakaita musangano mukuru weKanzuru yeNicene.
61-0806 VHIKI RECHIMAKUMI MANOMWE RADANIERI
Izvi zvaive paNicaea muRoma, kwavakaitira musangano weKanzuru yeNicene.
Guta reNicaea riri kupi? MuFrance? MuRoma? MuAsia Minor?
Musati mashandisa zvamakabata paitaurwa ongororai zvinhu izvozvo zvakanaka.
Nicaea iri muAsia Minor, iri kudaidzwa kuti Turky nhasi uno. Hama Branham vaiedza kuburitsa yanano iripo chete. Kanzuru yeNecene yakashandiswa nemubati Constantine kukudza dzidziso isimo muMagwaro yeTiriniti. Pope weRoma akatora pfungwa iyi, Constantine akashandisa kanzuru kusimbisa chinzvimbo chaPope semunhu wake akasimba muRoma nekuti Constantine aizobva kuRoma oenda kuMabvazuva kuConstantinople.
Hazvina kunaka kungodzokorora zvakataurwa. Munofanira kuziva kuti hama Branham vaida kusvika pakunotaura kuti kudii.
Nice (zvichitaurwa zvinobuda sekuti Neese) iguta riri muFrance. Hama Branham vakangokanganisa pakurangarira pakufunga kuti Nicaea ndiro raive Nice.
1963 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino, tarirai, vatumwa vanomwe pavakauya kuzoridza hwamanda dzavo, kwaive neKutinhira kumwechete. Israeri payakaungana, kwaive nehwamanda. Nguva paichaguma, hwamanda yekupedzisira ... kutinhira kumwechete,
Gore rakatorwa mifananidzo mwedzi mumwechete mharidzo iyi isati yazivisa Chisimbiso chechinomwe sechakavanzika chakazara. Akati nguva haizovipo, imwe nguva munguva inouya. Saka gore nezvisimbiso zvinomwe hazvina kugumisa nguva.
Kuchava neHwamanda imwechete pachaguma nguva. Hatina chatinoziva nezveHwamanda iyoyo.
Chakavanzika 3
Hatina chatinoziva pamusoro peHwamanda nomwe.
64-0719 MUTAMBO WEHWAMANDA
Zvino, Mutambo weHwamanda. Zvino, iyi yaive ungano yeIsraeri, pavaiungana pamwechete, Mutambo weHwamanda.
Zvino, ndaiverengera kwenguva yakati rebei kutaura pamusoro penyaya yeHwamanda Nomwe muBhuku raZvakazarurwa. Zvino ndakuzivisa izvi, muchinguvana, kuti nditaure chikonzero chekuti ndisataure parizvino, nekuti Mweya Mutsvene haungandisiye ndichitaura izvozvi pamusoro pezvinhu izvi. Ndinoziva zvinoita sezvisina kurongeka, pamwe, kuvanhu vakadzidza vanonzwisisa, asi kumaKristu chinhu chakasiyana. Tinotevera hutungamiri hweMweya Mutsvene, chete.
... Pandakapinda mukamuri, kuti ndinoedza kunzwisisa, ipapo ndipo pakazarurwa izvi neMweya Mutsvene, kuti undiratidze chikonzero nei zvisina maturo chero kukereke panguva ino, ‘nekuti hazvinei nechekuita nekereke, zvachose.
64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO. 4
Mweya Mutsvene hwakakuudzai kuti Hwamanda hadzinei nechekuita neMwenga.
Hushumiri hwehama Branham hahunei nemaJuda munguva yeKutambudzika kukuru. Saka hatingazivi zvimwe zvezvakavanzika izvozvo.
64-0719M MUTAMBO WEHWAMANDA
Vakaterera zvakanaka. Izvozvi vakuona, ndine chokwadi chaizvozvo. Kana vasingaone, zviratidzei kwavari, Ishe, nei musingandibvumidzi kutora Hwamanda idzodzo kudziisa kwavari. Ndinoona kuti hadzina chechekuita nesu. PaHwamanda yechitanhatu, zvakaitika zvese, uye takatoona Chisimbiso chechitanhatu chichivhurika.
Chakavanzika chemaJuda nechenguva yeKutambudzika kukuru chichaziviswa naMosesi naErija munguva yeKutambudzika kukuru. Hama Branham basa ravo raive kuzivisa zvakavanzika zvaive zvaraswa nemakereke, kuti tigone kugadzirira Kuuya kwaJesu kwechipiri.
Mbeu yegorosi inodyarwa, inokura muzvikamu zvakasiyana siyana yozoguma yafanana nembeu yekutanga yakadyarwa. Saka zvakakosha kuti tifanane nenguva yekereke yekutanga. Hatifaniri kuziva zvakavanzika zvisina kunyorwa nekuti ivo havana kuziva zvakavanzika zvisina kunyorwa.
Chakavanzika 4
Hatizivi chiro pamusoro pendiro nomwe
64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO. 4
Mweya Mutsvene wakakuudzai kuti Hwamanda hadzina chekuita neMwenga. Ndiro nomwe dzine chekuita nesu here?
Ndichamirira ndione kuti Mweya Mutsvene uchazvizivisa nenzira iyoyo here. Handizivi.
Aisaziva pamusoro peNdiro nomwe sezvo dzichishanda kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru.
65-0711 KUNYADZISWA
Saka tichagadza Ndiro idzidzo neHwamanda idzodzo, ndinoda kudziisa mukati. Ndakakuudzai kuti ndichadaro. Dzinouya pasi pechimwe chinhu. Sezvinoita Ndiro, kureva kwehwamanda, asi tinoda kutora chidzidzo chese kusvika pekupedzisira, tochiunza tozvibatanidza.
65-0801M MWARI WENGUVA INO YAKAIPA
Zvino, mukuita izvi ndauya pano nechinangwa chekudzidzisa Ndiro dzekupedzisira, neNdiro Nomwe dzekupedzisira neHwamanda Nomwe dzekupedzisira, neKutinhira kunomwe kwekupedzisira, zveBhuku raZvakazarurwa, tichizvibatanidza munguva ino yatiri kurarama; kutevera kuzarurwa kweZvisimbiso zvinomwe, Nguva nomwe dzeMakereke. Saka, hatina kuwana mukana wekuzviita. Saka ndinovimba kuti kana ndangowana nguva yakafanira izvozvo, pano kana kuLouisville, New Albany kana kuisa tente, kuti tingogarapo mazuva akawanda sekutenderwa kwatinenge taitwa naShe.
65-0822 KRISTU ANOZIVISWA MUSHOKO RAKE
Asi tine nguva dzakaomarara dzatichapinda, dzisina kubvira dzasangana nerudzi rwevanhu. Ndakangomirira nguva, nepatingawana ... munhu wese anogona kuwana nguva yaanogona kubva kubasa oita mazuva mashomanana togona kuenda kumwe kunhu kwatinonotaura nezveHosha idzi nezvinhu zvichatiwira mumazuva ekupedzisira; toita mavhiki maviri kana matatu tiri tese, tozviita pamwechete, kana Mwari akandirega ndichirarama kuti ndizviite akandikurudzira kuti ndizviite, muchiona kuti zvinhu izvi zvichawiswa sei, neKutinhira ikoko. Ipapo munobva maziva zvairotwa nemunhu uya nevamwe vanhu; nezvinhu izvi zvese, zvichazadziswa;
Mwedzi mina Hama Branham vasati vatisiya vaive vachiri vakamirira Mwari kuti azivise Kutinhira kunomwe, neHosha dzakarehwa muNdiro nomwe, neHwamanda nomwe. Kana vaisaziva nezvazvo, saka nesuwo hatizivi.
Chakavanzika 5
Hatizivi chakavanzika cheChisimbiso chechinomwe.
Chinoyanana neKuuya kwaShe chinova chakavanzika chikuru denga nepanyika. Hakuna anoziva chakavanzika ichocho.
1963-03-24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Saka rangarirai, Chisimbiso cheChinomwe, chikonzero nei chisina kuzarurwa, chikonzero nei chisina kuziviswa, hakuna munhu anofanira kuziva nezvacho.
Chisimbiso chenguva yekupedzisira, pachinotanga, chichava chakavanzika chikuru sekutaura kweBhaibheri.
... Saka ndinotenda, kwatiri vaya ... kana tisingachizivi, uye hati -- hachizozivikanwi kusvika nguva yacho, asi chichaziviswa zuva iro, munguva yachinofanira kuziviswa nayo.
1963-03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
... uye akazarura Chisimbiso cheChinomwe chiya. Asi munoona, ndicho chakavanzika chakavanzwa. Hakuna anochiziva. Asi chinofambidzana nezvaakataura: hakuna achaziva kuuya kwake; havangaziviwo pamusoro pechakavanzika chekutinhira kunomwe. Saka munoona, zvakabatanidzwa pamwechete.
... Chimwe chechakavanzika cheChisimbiso ichocho, chikonzero nei chisina kuziviswa, kwaive kutinhira kunomwe kwakareva manzwi ako, zviripo zvakanaka kudaro, nekuti hakuna anoziva chiro nezvako; hazvina kubvira zvakanyorwa.
63-0324 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino, chii chakavanzika chikuru chakavanzwa pasi peChisimbiso ichi, handizivi. Handichizivi. Handina kukwanisa kuchiziva. Handina kukwanisa kutaura nezvacho, kuchi chii, uye, kuti chakatii. Asi ndinoziva kuti kwaive kutinhira kunomwe kwaireva manzwi ako pedyo nepedyo, kuchitinhira nguva nomwe dzakasiyana, kukaratidzwa kuva chimwe chinhu chandakaona.
Zvino pandakaona izvozvo, ndakatsvaga kuturikirwa kwazvo kwakadarika kuchibhururuka nekoko, ndikatadza kukunzwisisa. Ndizvo chaizvo, Hama. Mazviona? Nguva yazvo haisati yakwana. Asi zvinofamba mudenderedzwa iroro. Mazviona? Zviri kuswedera.
… Asi ndinoziva kuti kwaive iko kutinhira kunomwe kwaireva manzwi ako pedo nepedo, kuchitinhira nguva nomwe dzakasiyana, kukaratidzwa kuva chimwe chinhu chandakaona. Zvino pandakaona izvozvo, ndakatsvaga kuturikirwa kwazvo kwakadarika kuchibhururuka nekoko, ndikatadza kukunzwisisa. ... uye kune chinhu chimwechete chandisingagoni kuturikira, nekuti chiri muchitauro chandisingazivi.
Edza kuturikira mutauro wausingazivi. Hazvigoneke.
63-0324 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvichava rini, hama Branham? Handigoni kukuudzai. Handizivi ... Chimwechete chezvakavanzika zveChisimbiso ichocho, chikonzero nei chisina kuziviswa, kwaive kutinhira kunomwe kwakareva manzwi ako, zviripo zvakanaka kudaro, nekuti hakuna anoziva chiro nezvako; hazvina kubvira zvanyorwa. Saka tasvika panguva yekupedzisira; tasvika.
... akabva azarura Chisimbiso cheChinomwe. Asi munoona, chisimbiso chakavanzika. Hakuna anochiziva. Asi chinofambidzana nezvaakataura: hakuna achaziva Kuuya kwake; havangaziviwo nezvechakavanzika chake chekutinhira kunomwe. Saka munoona zvakabatana pamwechete.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino, achazviita sei? Ndizvo zvatisingazivi, ndizvo here? Hatizivi. Yatove nguva yezvinhu izvi zvese, nekupindira kweMereniyamu.
Tarirai, kuzarurwa kweChisimbiso ichi kwaive kukuru kwazvo zvekuti denga rakanyaradzwa nacho kwenguva inenge hafu yenguva. Zvino zvakanaka here? Chimbori chii? Rakanyaradzwa: denga. Hakuna chakapfakanyika kwehafu yenguva.
63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU
Zvino, rangarirai, akamirira ipapo. Haana kubvira aenda mberi mumashure meChisimbiso cheChitanhatu. Haana kuzotaura chiro pamusoro peChisimbiso cheChinomwe. Akataura Chekutanga, Chechipiri, Chechitatu, Chechina, Chechishanu, necheChitanhatu, akabva amirira ipapo – haana kutaura chiro pamusoro ...
1963-11-10 MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO
... Chisimbiso cheChinomwe chinomudzosa panyika.
1964-07-19 MUTAMBO WEHWAMANDA
Chisimbiso cheChinomwe hachisati chazarurwa, munozviziva. Ndiko Kuuya Kwake.
Gore rakaonekwa muna 1963 harigoni kuva Kuuya kwaShe nekuti ndiko Chisimbiso chechinomwe chinomudzosa panyika. Uye Chisimbiso chechinomwe hachisati chazarurwa. Saka haasati Auya. Kuuya kwake kuri munguva inouya. Hatizivi kuti rini.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
Munoziva patinoyenzanisa Magwaro pano Mateo 24 neZvisimbiso zvitanhatu, Chisimbiso chechinomwe chakasiiwa; nekuti, Kristu Mwari iye ega pachake ndiye anoziva, kwete chero vatumwa. Hazvishamisi nei, hachina kubvira chanyorwa. Muri kuona, vakanyararidzwa; hakuna chakaitika ipapo. Vatumwa havachizivi; hakuna anoziva kuti ari kuuya riini. Asi kuchava nemazwi manomwe ekutinhira uku achazivisa chakavanzika chikuru ichi panguva iyoyo.
… Pano, tinoona kuti Chisimbiso cheChitanhatu chakazarurwa kwatiri; tinochiona, uye tinoziva kuti Chisimbiso cheChinomwe hachigoni kuzarurwa kuruzhinji rwevanhu kusvika nguva iyoyo yasvika.
Vaparidzi vemharidzo vanosimbisa kuti vanhu vekunze chete ndivo vasingazivi. Mwenga anoziva, ndiko kutaura kwavo.
63-1110 MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO
Rangarirai, Zvisimbiso Zvinomwe zvakapedziswa, uye kana Chokwadi chinomwe ichi chikaziviswa ...
Chimwechete chacho, haatitenderi kuti tichizive. Vangani vaive pano paZvisimbiso Zvinomwe, vakanzwa? Mese ndinofunga kudaro. Mazviona, Chisimbiso cheChinomwe, haana kuchitendera.
Pano hama Branham vanoti Mwari haana kutitendera kuziva. Ndisu Mwenga. Saka Mwenga haazivi.
Chitadzo chikuru kusaziva kuti izwi rekuti “ruzhinji” rinokwanisa kureva Mwenga.
“Mwenga” anodaidzwawo kuti “ruzhinji”.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
… Chisimbiso chechinomwe chakasiiwa; nekuti Kristu akati Mwari ega ndiye anoziva, kana vatumwa havazivi. Hazvishamisi kuti nei, chisina kubvira chanyorwa. Mazviona, vakanyararidzwa; hakuna chakaitika ipapo. Vatumwa havachizivi; hakuna anoziva kuti Anouya rini.
... kana tisingachizivi, uye hachingazivikanwe kusvika nguva iyo, asi chichaziviswa pazuva iroro, munguva yachinofanira kuziviswa nacho.
… Inzwai zvino, tinoona kuti Chisimbiso cheChitanhatu chakazarurwa kwatiri; tinochiona, uye tinoziva kuti Chisimbiso cheChinomwe hachigoni kuzarurwa kuruzhinji rwevanhu kusvikira nguva yacho yasvika.
... Zvino, ndicho here Chisimbiso chechinomwe. Chichiri chinhu chinooneka. Uye tiri ... hatizivi kuti chimbori chii nazvino, nekuti hachitenderwi kuzarurwa.
Hama Branham vanoti “ruzhinji” haruzivi. “isu” hatizivi. Mwari haangatitenderi kuziva. “Hakuna” anoziva. “Vatumwa” havazivi.
“Ruzhinji” zvinokwanisa kwazvo kureva kuti vanhu vekunze. Asi nzira yazvakataurwa nehama Branham achishandisa “isu” uye “ti” zvakangofanana nenzira yaakashandisa “ruzhinji”. Saka “ruzhinji” pano zvinongoreva boka kana ungano yevatendi. Mhedziso ndeyekuti “hakuna anoziva”, mwenga kana rumwe rudhende rwese.
65-0725 VAKAZODZWA PANGUVA YEKUPEDZISIRA
Muzuva richaziviswa Mwanakomana wemunhu.” Zvakazarurwa 10:1 kusvika ku 7, endai munoverenga masvika kumba, “ Mharidzo yemutumwa wechinomwe, achizarura zvisimbiso.” Chii chaicho? Kwete kuti mutumwa ndiye Mwanakomana wemunhu; asi mutumwa ari kuzivisa Mwanakomana wemunhu. Muri kukwanisa kuzvipatsanura here? Ndipo pazvinoita sezvakaoma kwazvo kwamuri, mazviona. Kwete kuMwanakomana wemunhu, Iye pachake; asi mutumwa wechinomwe, nhume yechinomwe, iri kuzivisa ruzhinji Mwanakomana wemunhu, nekuti zvakabuda mudura. Haagoni kuzvironga. Imbeu, pachayo zvakare.
Hama Branham vakazivisa Mwanakomana wemunhu kwatiri. Saka ndisu ruzhinji.
Vaasingatendi vanokwanisa kuona kuturikirwa kwemifungo asi havagoni kunzwisisa zaruriro yakunouya nako. Mwenga ega ndiye anonzwisisa zaruriro yechiprofita chenguva yekupedzisira chichizivisa mifungo yevanhu nekuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri.
63-0115 KUGAMUCHIRA NZIRA YAKAPIHWA NAMWARI MUNGUVA YEKUPEDZISIRA
... Sezvakaitwa naJuesu paaive pano panyika. Akaita kuti azivikanwe neruzhinji saka ndicho chaive chiratidzo chaMessiasi.
Vaya vakabata chiratidzo chaMessiasi, kuturikirwa kwendangariro, vaive veruzhinji. Vaivewo Mwenga kuzuva ravo. Vamwe vese vakaramba Jesu.
64-0614M KUBURITSWA PACHENA KWAMWARI
Zvino, iyezvino, ndinoshuwira kuti dai vaigona kubata kaseti iroro, Hama Sothmann nevamwe vavo, vasati varitengesa, kana zvichibvira, ndinoda kuriterera tisati ... risati rabuditswa kuenda kuruzhinji.
Zvakare vakashandisa izwi rekuti “ruzhinji” kureva vatendi vanotenga makaseti. Vasingatendi vashoma kwazvo vangatenga kaseti iroro.
63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU
Zvino, Baba, ndinonamata kuti vose vachakugamuchirai parizvino mumoyo yavo vachazvitambira panguva ino kuti vakapedza nezvivi, vachasimuka kunogadzirira kunoreurura paruzhinji nerubapatidzo muZita raJesu Kristu, kuti varegererwe zvivi zvavo, kuti varatidze kuti vanotenda kuti Mwari avaregerera, votora zita raJesu Kristu.
Rubapatidzo runowanzoitwa pahuvepo hwevatendi, vanova ruzhinji runopupurira.
63-0324 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Akati, “ndinokuudzai,” akati “hakuna kubvira kwaita nguva, zvachose, yekuti makamboona kubatana pakati pevanhu kana vachishanda pamwechete.” Hama Wood, Hama Roberson, nevamwe vese vachiisa nzvimbo dzavo -- zvinhu zvese. Nehama inoisa midziyo, midzi – ndinoreva midziyo yatinoshandisa kuti ruzhinji rutinzwe nezvimwe zvese mukereke ...
Akadaidza masipika aive mutabernakeri, kuti midziyo yekuti ruzhinji runzwe. Asi vaive vatendi vaivepo mutabernakeri yekwaBranham.
63-0601 HUYAI MUNDITEVERE
Ndaikwidza uko, kunobatana nehama Bud kunomirira kuburuka kwake, tikatanga kuita saizvozvo ikoko. Takamirira murenje, ndikasiya bvudzi nendebvu dzangu zvichikura. Kana Mwari aida kuti ndiwane kwandinoenda, aizonditumira shoko, ndoburuka ndoita sekureva kwake.
Munzira, ndichiuya rimwe zuva, Akandimisa. Ndikaona zvandaivinga. Ndava munzira kunosangana nechimwe chinhu manje. Ndakafunga, pandakasvika kumba, ndakaita kutaura kwemoyo -nemoyo, zvichida tikazvitapa kuisa pakaseti, kuti ipapo ruzhinji rugoona kuti nei pakaita shanduko yekukasika kudaro.
Pano aireva vanhu vaive pamusangano wake achiti ruzhinji runoda kuzoziva shanduko dzakaitika muzvirongwa zvake.
Saka dzimwe nguva aitaura musangano wevatendi achiti ruzhinji, nekuti aitaura zvakasununguka kuvanhu vese vaive pamusangano.
Chakavanzika 6
Hatizivi kuti kutinhira kumwechete kwakareva pakutanga kwaZvakazarurwa Chitsauko 6:1, Zvisimbiso zvinomwe zvisati zvazarurwa kudenga kwaive chii.
ZVAKAZARURWA 6:1 Zvino ndakavona Gwaiana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi romutunhiro: Vuyai!
63-03 18 CHISIMBISO CHECHIPIRI
Mwari, batsirai kusatenda kwedu. Kubvisei kwatiri, Ishe. Tinoda kugamuchira nyasha dzekukwira kudenga. Tinoda kugona panoreva kutinhira kwakavanzika, nepanotorwa kereke kukwira kudenga, tinoda kuva takagadzirira kukugamuchira, Ishe
Kutinhira kwakanzwikwa nehama Branham pakauya vatumwa vanomwe kwavari musi wa 8 Kurume 1963. Uku kwaive kutaura kwaireva zvinhu zvaizoitika, kwakaitwa mazuva gumi mumashure mekusangana kwake nevatumwa vanomwe pakaitika kutinhira kukuru, zvaitaura zvinhu zvaizoitika. Saka zvaisareva zvinhu zvaive zvaitika pakushanya kwevatumwa vanomwe.
63-0319 CHISIMBISO CHECHIPIRI
Mwari, batsirai kusatenda kwedu. Kubvisei kwatiri, Ishe. Tinoda kugamuchira nyasha dzekukwira kudenga. Tinoda kugona panoreva kutinhira kunomwe mazwi ako, kereke ichitorwa kukwira kudenga, tinoda kuva takagadzirira kukugamuchira, Ishe. Tipeiwo. Tiedzei, Ishe, neShoko renyu. Tiitei tirinzvere, kana tikaona kuti takundikana ...
Kuchaitika Kutinhira kwakavanzika munguva inouya.
65-0822M KRISTU AKAZIVISWA MUSHOKO RAKE
Asi tine nguva dzakaomarara dzatichapinda, dzisina kubvira dzasangana nerudzi rwevanhu. Ndakangomirira nguva, nepatingawana ... munhu wese anogona kuwana nguva yaanogona kubva kubasa oita mazuva mashomanana togona kuenda kumwe kunhu kwatinonotaura nezveHosha idzi nezvinhu zvichatiwira mumazuva ekupedzisira; toita mavhiki maviri kana matatu tiri tese, tozviita pamwechete, kana Mwari akandirega dzichirarama kuti ndizviite akandikurudzira kuti ndizviite, muchiona kuti zvinhu izvi zvichawiswa sei, neKutinhira ikoko. Ipapo munobva maziva zvairotwa nemunhu uya nevamwe vanhu; nezvinhu izvi zvese, zvichazadziswa.; mazviona, muchaona zvakuchazivisa, kutinhira kukuru ikoko kuchiuya kuchibva kumakore. Zvino, ichokwadi, mese, munoziva kuti ndinoziva kuti zvinorevei, mazviona. Uye, asi ngatingomirirei kusvika nguva yacho yakwana, mazviona, kuti zive, mazviona, iyezvino, zvichave nenguva yakafanira.
Hama Branham havana kubvira vatiudza kuti kutinhira uku chii.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari, munguva ino, ichava nguva senguva ino apo kuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kudenga nekudanidzira, nenzwi reMutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari, vakafa munaKristu vachamuka.
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO
Rimwe zuva, kuchauya kutinhira kubva kudenga, “vakafa muna Kristu vachatanga kumutswa.” Vatsvene veTestamente yekare vachavapo, vakamirira, vachatsemura vachibuda kubva pakutanga, vachipinda murumuko. Tichawira mumutsara, tichienda kudenga; miviri mitsaru yakafuka kuvora iyi inoshandurwa yoitwa semuviri wake iye wakafuka kubwinya. Kuchava kuratidzirwa kwakadii pazvichatanga zvedenga, mamwe emazuva aya, munguva yekukwira kudenga mukubwaira kweziso iyoyo iri kumberi kwedu, oh, nekudada kukuru vachiratidzira ropa raJesu rakadeuka pazvipfuva zvavo, Mharidzo yaMwari kunguva yavakararama. Ndiyo nguva yatakatarisira, hama.
Mumwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake aive achiri akatarisira kutinhira uku kubva kudenga.
1963 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino, tarirai, pakauya vatumwa vanomwe kuzoridza hwamanda dzavo, kwaive neKutinhira kumwechete. Israeri payaive yakaungana, kwaive nehwamanda. Nguva paichaguma, hwamanda yekupedzisira ... Kutinhira kumwechete.
Gore rakaonekwa mwedzi umwechete izvi zvisati zvaitika. Chisimbiso cheChinomwe chakaziviswa sechakavanzika chakazara. Anoti nguva haizovipo zve, imwe nguva mumazuva anotevera. Saka Gore neZvisimbiso zvinomwe hazvina kugumisa nguva.
Kuchava nekutinhira kumwechete pachaguma nguva. Hatina chatinoziva nezvekutinhira ikoko.
Chakavanzika 7
Hatizivi kuti rumuko ruchaitika rini.
1965 NGUVA YEKEREKE YEFIRADEFIA
Zvakazarurwa 21:1-4
Zvino ndakavona denga idzva, nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisi’po.
Ndikavona guta dzvene, Jerusarema Idzva richiburuka kudenga richibva kunaMwari, rakagadzirwa somwenga wakashongerwa murume wake.
Ndikanzwa inzwi richibva kudenga; richiti: Tarira; tabernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo.
Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavi’po, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavi’po; nokuti zvokutanga zvapfuvura.
Zvakanaka sei. Zvivimbiso zvaMwari zvakanaka zvese zvinozadziswa. Zvese zvichapera. Shanduko dzinenge dzaguma. Gwaiana neMwenga waro vanorarama nekusingagumi nerunako rwaMwari. Zvitsanangurei? Ndiyani angazviita? Hakuna. Zvifungei? Zvirotei? Verengai zvinotaura Shoko nezvazvo? Hongu tinogona kuita zvese izvozvo, asi tinogona kuziva chidimu chiduku kwazvo chinokwaniswa nendangariro dzedu kusvika zvaitika zvazadziswa murumuko rwekutanga.
1965 aive achiri kutaura nezverumuko rwaizoitika munguva yaizotevera. Hatina chatinoziva nezverumuko zvachose.
… Pakati penguva dzematambudziko makuru panouya Jesu. Paanouya vakafa muna Kristu vanomutswa. Vazhinji vachamutswa kubva muguruva vokwira neavo vapenyu vakarindira kudzoka kwake. Ava vose vachapihwa korona. Nei? Nekuti vanakomana vaMwari. Madzimambo pamwechete naye. Vanenge vachitonga pamwechete naye. Ndizvo zvinomiririrwa nekorona-- kutonga pamwechete naMambo Mukuru, Pachake. Ndicho chivimbiso kune vese vanotambudzwa pamwe naye pano panyika-- vese vakashingirira vachiziva kuti Mwari, mutongi akarurama achavaripa. Vaya vakaramba zvese kuti vade Iye vakazvipira zvese kwaari vachagara naye pachigaro chake chehushe vogovana muhushe hwake hwekubwinya.
Rumuko runotitendera kutonga munguva yerugare yeMereniyamu naJesu.
1965 NGUVA YEKEREKE YESARDISI
Kuita izvi tinofananidza kereke munguva dzese nedzinde regorosi. Tsanga yegorosi inodyarwa pakupedzisira tsanga iyoyo inobereka yowanda mukuita kwakasarudzika munguva dzakasarudzika. Mbeu imwechete iyoyo inofa, asi mukufa uku, hupenyu hwaive mairi hunoita mbesa inozobereka humwe hupenyu hunozodzokera pakunoita zvaive zvakaita mbeu yekutanga asi dzichibuda dzawanda. Jesu Mbeu huru yeHushe akafa. Iyeye Mumwe asina anomukwikwidza ndiye hupenyu hwekereke amire pakati pekereke kwenguva nomwe dzese dzekereke achipa hupenyu hwake kukereke (mutakuri kana mubereki) kusvika pakupedzisira zvekuti hupenyu hwake hunoberekwa mumiviri yakaita sewake murumuko.
Parumuko tichagamuchidzwa miviri yakarurama, semuviri waShe. Hatizivi kuti izvi zvichava riini.
1965 NGUVA YEKEREKE YEEFESO
… Paive nemhuka, yakazotukwa ikashanduka kuita nyoka, yaive yakadisa kwazvo kufanana nemunhu zvekuti Satani akapinda mumhuka iyoyo nekuti nemhuka iyoyo aikwanisa kusvikira munhu omutadzisa, saka akabva apinda murudzi rwevanhu, sezvaizoita Jesu rimwe remazuva kusvikopinda murudzi rwevanhu, mumiviri yevanhu, kusvika chero pakumuka kubva kuvakafa patinenge tane miviri yakafanana nemuviri Wake wekubwinya.
Zvinotevera zvakabatwa paaitaura muna Zvita 1965, mwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake hama Branham vaive vachiri vakatarisira kumuka kwevakafa.
65-1207 HUTUNGAMIRIRI
Zvino, Hupenyu hupi hwaive naLuther, hwaive kururamisirwa. Wesley aive nekunatswa, zvichiwedzerwa ipapo. VePentekositi vaive nekudzoserwa kwezvipo vachidzosa imomo, zvichiwedzerwa ipapo zvakare. Asi zvino zvakuzadziswa mumuviri, mazviona, zvikamu zvitatu zvacho, kubva imomo ... Zvino, kana rumuko rwukauya, Hupenyu hwakararama muvanhu veitevera Luther, vakabuda, Hupenyu hwairarama muvaMethodisiti hukabuda, Hupenyu hwakapinda muvaPentekosita, vese vachatorwa kubva panyika mukubwaira kweziso muMuviri weMwenga kuti vanotorwa pamberi paJesu Kristu. Kubwinya kwese kuna Mwari! Oh, izvi zvinofadza! Ndicho chokwadi!
65-1206 ZVIITIKO ZVANHASI ZVINOJEKESWA NECHIPROFITA
Musamedzwe nenyika! Kana muri venyika, muchamedzwa nenyika. Kana muri vaMwari, muchaenda naye murumuko. Saka shandurai kuita kwenyu nhasi uno kubva parudo rwenyika nezvinhu zvenyika, nezvinhu izvi zvose nezviyera yera zvazvo, mutarise paCalvari kuChibairo chenyu; musangane naye ipapo, ‘nekuti ndiyo yega nzvimbo yaachasangana nemi.
VeMethodisiti vanoti, “Zviri mukereke medu”; veBaptisiti vanoti, nevePentekositi, neava, nevePresbeterio, neava.
Asi Iye anoti, “ndichasangana navo panzvimbo imwechete, nzvimbo yandakaisa Zita rangu.” Ndimo muna Jesu Kristu. Ndimo makaisa Mwari Zita rake. Ndiyo yega nzvimbo yaachasangana nemi; uye ndiKristu, ndiye Shoko, haashanduki zuro ... rakakura kubva kutsoka, makumbo. Izvozvi zvava mumusoro, kugadzirira kuenda; achiratidzwa zvizere muMwenga, zvimwechete neChikomba.
... Kana gorosi rikauya, Hupenyu hwakafamba nemugorosi iroro, rumuko, runoburitsa zvese pachena; hongu, runouyira kukwira kudenga mukubwaira kweziso.
Rumuko ruchaitika imwe nguva isina anoziva munguva inouya.
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO
Rimwe zuva, kuchauya kutinhira kubva kudenga, “vakafa muna Kristu vachatanga kumutswa.” Vatsvene veTestamente yekare vachavapo, vakamirira, vachatsemura vachibuda kubva pakutanga, vachipinda murumuko. Tichawira mumutsara, tichienda kudenga; miviri mitsaru yakafuka kuvora iyi inoshandurwa yoitwa semuviri wake iye wakafuka kubwinya. Kuchava kuratidzirwa kwakadii pazvichatanga zvedenga, mamwe emazuva aya, munguva yekukwira kudenga mukubwaira kweziso iyoyo iri kumberi kwedu, oh, nekudada kukuru vachiratidzira ropa raJesu rakadeuka pazvipfuva zvavo, Mharidzo yaMwari kunguva yavakararama. Ndiyo nguva yatakatarisira, hama.
... NdivaTesaronika 4:12 kusvika ku 18. Ndiko, ndiko kuchava kukwira kudenga mukubwaira kweziso kwechipiri (Repucha). Kukwira kudenga mukubwaira kweziso kwechipiri ndiko kuchava kutorwa kweMwenga.
... Mhere; zvino izwi; zvino hwamanda.
Mhere: ndiye mutumwa anoita kuti vanhu vagadzirire.
Pechipiri inzwi rerumuko: izwi rimwechete iri, ndiro, izwi raidaidzira kuna Johane 11:38-44, rakadaidza Razaro kubva muguva.
Kuunganidza Mwenga pamwechete; kwouya kumutswa kwevakafa, mazviona; kuti vatorwe pamwechete naye. Zvino tarirai zvinhu zvitatu zvinoitika. Chinotevera chii? Hwamanda. Izwi ... Kudanidzira; izwi; hwamanda.
Zvino, chinhu chechitatu, ihwamanda. Iyo, nguva dzese, paMitambo yeHwamanda, inodaidza vanhu kumutambo. Ndicho chichava Chirayiro cheMwenga, Chirayiro cheGwaiana neMwenga, kumakore. Mazviona?
Chinhu chekutanga chinouya iMharidzo yake, ichidaidza Mwenga pamwechete. Chinhu chinotevera kumutswa kweMwenga arere; vaya vakafa, mukati medzimwe nguva dzemakereke, vanotorwa pamwechete. Hwamanda, Mutambo kudenga, kumakore. Nei ndicho chinhu chinoitika, hama dzangu.
Tatovepo, tagadzirira. Chinhu chimwechete, kereke ichibuda, inofanira kuva pamberi peMwanakomana, yakaibva.
Mukohwi mukuru achauya, mumashure mukanguva. Gorosi rinopiswa, mashanga, asi mbeu dzinounganidzwa mumatura. Mazviona?
Tarisai mashandisiro aanoita mutauro wake achireva nguva inouya. Mukohwi mukuru ACHAuya kuzotora gohwo regorosi rinoratidzika zvakafanana nembeu yegorosi yakadyarwa munguva yekereke yekutanga.
65-1125 KUBATANIDZWA KUSINGAONEKWE KWEMWENGA WAKRISTU
Kuchauya zuva rerumuko, iro, “Vekutanga vachava vekupedzisira; vaya vekupedzisira vachava vekutanga.” maprofita akare achauya, kutanga, vachaona zvinhu izvi zvichiitwa, vanhu vachifamba vachikwira kudenga. “uye isu vapenyu vanenge vasati vafa hatingavamisi vaya vakafa. Nekuti hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.” tichawira mumutsara pamwe navo tichipinda, hareruya, tese nevemunguva yaLuther, Wesley, Methodist, Presbyterian, dzese kusvika kunguva yekupedzisira, vakagamuchira Shoko munguva yavo.
Mukati memwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake, ainyanya kutaura pamusoro perumuko rwaizouya munguva inouya nekukwira kudenga mukubwaira kweziso. Saka kune zviitiko zviri munguva inouya. Hatizivi chete kuti riini.
63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU
Zvino, Baba dururai Mweya Mutsvene wemafuta pamusoro pavo, kuti vaiswe mubasa raIshe Mwari, kuti vashandiswe mumazuva akaipa ekupedzisira aya. Nekuti tinoona kuti tingori nenguva duku kwazvo, uye kereke inogona kuenda chero nguva.
Gwaiana rinogona kubva panzvimbo tsvene chero nguva kana pachigaro chechipiriso, ouya kubva pachigaro chaMwari paive pakaiswa chipiriso, ipapo zvinenge zvapera. Kunenge kusisina tariro kunyika; inenge yapedzwa nayo. Inobva yapinda mumarwadzo ekuomerwa kukuru kwekudengenyeka kwenyika, nekuzunzwa kukuru sezvazvakaita pakumuka kwake kuvakafa.
Uye sekumuka kwakaita Kristu kubva muguva, pakamukawo vatsvene, chinhu chimwechete ichi chichaitika zvakare. Ishe, zvinogona kuitika chero nguva. Takatarisira zuva remufaro iroro kuti risvike.
Nyasha dzichiko! Hatizivi kuti Gwaiana richabva rini pachigaro chenyasha. Hatizivi kuti kumutswa kweevatsvene kuchava riini.
Chakavanzika 8
Hatizivi kuti nguva ichaguma riini.
64-0816 KUTSIGIRA SHOKO RAKE
Regai vanhu ava pano nhasi vanzwisise izvozvo, uye regai vatadzi vakutsvagei panguva ino, masuwo asati azarirwa nguva painenge yaguma. Regai Mwenga, paanotanga kubuda achibva pane izvi neizvo, dai adzoka panhanho sekuratidzwa kwazvakaitwa nechiratidzo mavhiki mashoma akadarika.
65-1031 SIMBA REKUSHANDURWA
Zvino [Meda] akangita seni, tiri kukura tichichembera, nguva dzedu dziri kupera. Asika neTariro huru iyi, yekuti tichaungana pamwechete zvakare maari, apo kunenge kusisina nguva, tachembera, hapana chingatishamisa kana kutishungurudza.
Nguva dzinopimwa neshanduko. Tinokura kusvika pazera remakore makumi maviri nemashanu, mumashure maizvozvo tinenge tava varanda vemurairo wekuwora. Mukati mekufamba kwenguva tinosangana nematambudziko anotirwadza nekutishungurudza.
Panoguma nguva, panenge pasisina shanduko. Hatizokuri. Kunenge kusisina zvipingaidzo. Kusisina kuchema. Kusisina kutambudzika.
Hatizivi kuti zuva rinofadza iri richava riini.
64-0830M MIBVUNZO NEMHINDURO 3
Zvisimbiso hazvina kubvira zvagumisa nguva. Nguva nemwaka kusvika paMereniyamu. Kwete. Nguva ichavako kusvikira Mereniyamu yadarika.
65-0410 CHISIMBISO CHEPASEKA
Ipapo, Mwenga anodzoka neChikomba kumakore churu erugare, kuzotonga muMereniyamu; mumashure maizvozvo kunouya mutongo wechigaro chichena chekutonga; mumashure maizvozvo kunouya Denga idzva nenyika itsva neguta idzva richiburuka kubva kuna Mwari kudenga. Hupenyu husingagumi nenguva zvinobatanidzwa.
1963 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino, tarirai, vatumwa vanomwe pavakauya kuzoridza hwamanda dzavo, kwaive nekutinhira kumwechete. Israeri payaive yakaungana, kwaive nehwamanda. Nguva paichaguma, hwamanda yekupedzisira ... kutinhira kumwechete.
Gore rakaonekwa mwedzi umwechete izvi zvisati zvaitika. Chisimbiso cheChinomwe chakaziviswa sechakavanzika chakazara. Anoti nguva haizovipo zve, imwe nguva mumazuva anotevera. Saka Gore neZvisimbiso zvinomwe hazvina kugumisa nguva.
64-0726M KUZIVA ZUVA RAKO NEMHARIDZO YARO
... Nokuti tinodaidzwa kuti tiungane pamwechete kuti tinzwe kureva kweHwamanda. “Nokuti Hwamanda yaIshe icharira, ipapo nguva ichaguma.
63-1110 UYO ARI MAURI
Saka, asi munoona, kana Mwari ari mazviri, ndichitaura chokwadi, iyi ndiyo nguva yekupedzisira yenhorondo. Ndiko kuguma kwenhorondo yenyika. Iri kuvharika. Nguva haizovipo zve, rimwe zuva.
Mwedzi mipfumbamwe mumashure mekuonekwa kweGore guru aitaura kuti nguva yaizoguma mumazuva aizouya.
64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO. 3
Mubvunzo: Kana nguva yakaguma pakazarurwa zvisimbiso, zvinorevaka kuti Mereniyamu yakaperawo, handizvo here?
Mhinduro: kwete, kwete. Nguva hadzina kuguma pakazarurwa Zvisimbiso. Makatadza kuzvinzwisisa.
Zvakaitika ndezvekuti, zvakavanzika zvakaziviswa, kwete kuti nguva yakagumiswa ...
Nekuti muri kuzviona? Tine makore churu mumashure mekunge makereke aenda kumusha adzoka panyika. Ipapo nguva inoguma mudenga idzva nenyika itsva.
63-1028 KUREGERERWA
Baba vedu veKudenga, tichiziva kuti zuva riri kunodoka zvakanakisa, nguva haizovipo zve, rimwe zuva Mutumwa Mukuru achasvika panzvimbo yenguva, achibva kusina nguva kusingaperi. Hwamanda yaMwari icharira, munhurume mumwe nemumwe nemukadzi mumwe nemumwe tichadaira kune zvatinoziva kuti ndezvechokwadi, Shoko raMwari.
1965 RENGUVA DZEMAKEREKE NGUVA YEKEREKE YESARDISI
Zviri pachena kuti mazita aiveko, uye achabviswa muBhuku reHupenyu ipapo nguva haizovipo zve.
64-0409 KUZIVIKANWA KWAKRISTU MUNGUVA DZOSE
Tarira, ko kana munhu akapinda muno ainemavanga ezvipikiri mumavoko ake, nezvinhu chiso chake chese neropa, nezvimwe zvakadaro? Chero munhu anogona kuita izvozvo. Uye rangarirai, Jesu haauyi saizvozvo. Kana akauya saizvozvo, nguva inenge yaguma. Kunenge kusisina nguva kana auya saizvozvo.
Asi mungazive sei kuti aive iye aive auya kana azouya? Nekuti anozozvizivisa neMweya wake, chiratidzo chake, neHupenyu hwake mamuri. “Ndini Muzambiringa, imi muri mapazi”. Jesu paanouya tichava nemiviri yakafuka kusavora seWake. Mweya wake mutsvene uchava matiri.
64-0403 JEHOVA JIREH.2
Munhu anogona kusvika pano nemavanga ezvipikiri mumaoko ake, nezvidhindo zveminzwa oti, “Ndini Ishe.” chero munhu anogona kudaro. Asi, Hupenyu! Muviri waShe Jesu ugere kurudyi kwehumambo; paanouya, nguva inenge yaguma, muviri iwoyo paunodzoka panyika. Asi Mweya wake uri pano, hupenyu hwake huri kupa humbowo hwekuti ari pano. Mazviona? Ndichava nemi, chero mamuri, kusvika pakuguma kwenyika.”
64-0321E IZWI RECHIRATIDZO
Zvino tarirai muone kana huvepo hwake huri pedyo, huno, hunounza misodzi. ... kwete muviri wekubwinya; kana nguva iyoyo, muviri iwoyo wekubwinya unobva Kudenga, paunosvika nguva haizovipo.
63-1118 NDINI RUMUKO NEHUPENYU
Zviri pachena, kuguma kwenguva hakusati kwauya.
63-1110E UYO ARI MAMURI
Nguva haizovipo zve, rimwe remazuva.
63-1110 MWEYA IRI MUHUSUNGWA PARIZVINO
Tarirai, yaifanira kuva mharidzo yemutumwa wechinomwe yaifanira kuzivisa chechinomwe, Zvisimbiso zvinomwe. Zvakazarurwa 10:7, zvino, munozviwana. Mazviona?
“Akabva aona mutumwa uyu achiburuka panyika, akaisa tsoka yake panyika nepagungwa,” uyu aive Kristu, “Nemurarabungu pamusoro pake....” imwe tsoka panyika imwe pamusoro pemvura; akasimudza ruvoko rwake. Aive nemurarabungu pamusoro pake,” asi. Ndiyo sungano. Aive mutumwa wesungano, anova Kristu; akadzikisirwa zvishoma kudarika vatumwa, kuti atambudzwe. Uyo anouya,” anoisa mavoko ake Kudenga, achipika naIye anogara nekusingaperi-peri,” Asingagumi, Baba, Mwari, “kuti nguva haizovipo zve,” kana izvi zvaitika. Nguva inenge yaguma. Zvinenge zvapera. Zvapedziswa.
Mwedzi mipfumbamwe mumashure mekuonekwa kweGore guru anoti nguva “haizo” vipo zve. Saka chiitiko ichi chichiri munguva inouya.
63-0825 NDINGAKUNDE SEI
“Kune avo vari kutsvaga Kristu kechipiri,” vanogona kukurira zvinhu zvenyika ino, nenyasha dzake, kuuya Maari, movhara meso enyu kune zvimwe zvinhu zvose kunze Kwake iye chete neShoko rake, “Achaonekwa kechipiri Mukubwinya.”
“Nokuti Hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa; vachiri vapenyu vachashandurwa, pakarepo, mukubwaira kweziso, votorwa pamwechete, kunosangana Naye kumakore”.
… Nokuti tiri kutenda kuti “nguva iri kupera” zuva riri kunyura zvinyoro-nyoro kumadokero, zvino nekukasika zvichave “nguva haizovapo.” Nguva nehupenyu husingagumi zvichabatana apo Mwari nevanhu vake vanobatana. Tononamata, Mwari, kuti , panguva iyoyo, tichaverengwawo pakati peavo vachabatanidzwa naKristu, vanodaidzwa kuti Mwenga wake.
63-0818 NGUVA YEKUBATANA NECHIRATIDZO CHACHO
Hwamanda yaMwari paicharira, nguva haizovapo zve,
Mangwanani haazogumi, anenge akajeka akanaka;
Vakafa muna Kristu vachamutswa voungana kumahombekombe kune rumwe rutivi (nemwenga anorarama), kuti vatorwe pamwechete vachikwira kudenga.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
Tinofanira kurangarira kuti Chisimbiso chechinomwe ichi ndiwo magumo enguva kuzvinhu zvese. Ndizvo chaizvo. Zvinhu zvakanyorwa muBhuku rezvisimbiso zvinomwe (rakasimbiswa kuzano rerudzikinuro kubva mavambo enyika asati atanga), kusvika pakupedzisira kwazvo zvese. Ndiwo magumo; ndiwo magumo enyika yematambudziko. Ndiwo magumo ezvinhu zvematambudziko. Ndiwo magumo ezvinhu zvese. Imomo mune magumo ehwamanda. Ndiwo magumo endiro. Ndiwo magumo enyika. Ndiwo, ... ndiwo atori magumo enguva. Nguva inopera; Bhaibheri rinotaura kudaro.
Zvakazarurwa Chitsauko chechigumi vhesi kubva rekutanga kusvika rechinomwe. Nguva inopera. Mutumwa akati, “Nguva haizovipo zve”, mumazuva ekuitika kwezvinhu zvikuru izvi. Zvinhu zvese zvinopera munguva iyi, pamagumo eChisimboso chechinomwe.
Tarirai, magumo enguva dzemakereke. Magumo eZvisimbiso Zvinomwe. Ndiwo magumo ehwamanda. Ndiwo magumo endiro, ndikowo kugumiswa kwekusvika kweMereniyamu; iri paChisimbiso chechinomwe.
Izvi zvese zviitiko zviri munguva inouya.
63-0317E MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
Zvino Ndiye, Gwaiana, rinotora nzvimbo yaro yehumambo apo vatsvene vake pavanouya kuzomugadza Ishe wemaDzishe naMambo weMadzimambo. Mazviona? Mazviona nguva yapera. Zvakazarurwa 10:6; nguva haizovipo zve.
… Saka ndiro Gwaiana zvino. Mazuva ake ekutimiririra anenge apera, mazuva ekureverera vanhu. Ndipo pachamira mutumwa uyu ipapo (Mirirai kusvika tapinda muzvisimbiso). Nguva haizovipo zve. Ndizvo chaizvo.
… Mirai kusvika tayambuka panguva iyoyo – totora iyo hafu yeawa yerunyararo; nzvimbo tsvene iri kupwititika chiutsi; hakusisina kuyananisirwa; Chipiriso hachisisiko; chava chigaro chekutongwa. Hapasisina ropa pachiri zvachose, nekuti Gwaiana rakazara ropa rabvapo. Musamirira nguva iyoyo.
Mucharangarira here kuTestamente Yekare? Kana ropa paive pasina pachigaro chenyasha, kwaive kutongwa chete, asi kana paive neropa ipapo, kwaive nenyasha. Asi kana Gwaiana rikabva ipapo, ndipo pazvinoitika.
Aimbove chii? Aive Muyakanisiri.
… Asizve munguva yekupedzisira, zvakavanzika izvi zvese zvichapedziswa zvopihwa pachena, Zvisimbiso zvozarurwa neGwaiana zvoziviswa kuKereke, ipapo nguva haizovipo zve.
Izvi zvese zviitiko zviri munguva inouya.
Zvakavanzika zvinofanira kupedziswa. Ipapo chete nguva ndipo paichaguma.
Chakavanzika 9
Hatizivi kuti tichatorwa riini kunosangana Naye kumusoro kumakore.
64-0418 MHERE
Kune chinhu chikuru chiri kuuya, Kukwira kudenga mukubwaira kweziso. Munhu wese ngaagadzirire zuva guru iroro. Ngatigadzirirei mweya yedu izvozvi pamberi paMwari, kuti kana nguva iyoyo yauya, tigoenda naye.
Hwamanda yaMwari paicharira, nguva haizovipo zve,
1965 KUDZOKORORWA KWENGUVA -BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 10
Nguva iyi yakatanga pakunotanga kwesenturi rwechimakumi maviri. Sezvo yaive nguva iyo kereke yechokwadi yaizodzokera kunoita Mwenga wayaive paPentekositi, tinoziva kuti panofanira kuita kudzoka kwesimba guru. Vatendi vakanzwa izvi mavari mumweya yavo vakatanga kuchemera Mwari kuti avape kudururwa kutsva sekwaive musenturi rekutanga. Yaive yakaita semhinduro yakauya apo vazhinji vakatanga kutaura nendimi nekuratidzira zvipo zvemweya zvakatendwa kuti uku ndiko KUDZORERWA kwaive kwamirirwa kwenguva refu. Kwaive kusiri, nokuti mvura yekupedzisira inogona kuuya chete mumashure memvura yekutanga inova mvura yemavambo kana YEDZIDZISO. Mvura yekupedzisira, zvino, ndiyo mvura yeKUKOHWA. Ingave iyo yaive yakamirirwa sei kana mvura yedzidziso isati yauya? Muprofita-Mutumwa aizotumwa KUNODZIDZISA vanhu nekutendeutsira moyo yevana kumadzibaba ePentekositi aive asati auya. Saka chaifungirwa kuti kudzorerwa kwedzidziso yekupedzisira kuti vanhu vasvike pakukwira kudenga mukubwaira kweziso chaive chisati auya. Machiri waive musanganiswa wekushandiswa kwemakomborero eMweya nekuratidzwa kweMweya Mutsvene sezvatakaramba tichinomgedzera kwamuri. Mazviri zvakare maive nesimba rewakaipa apo vanhu vaive pasi pehutongi hwewakaipa, asi pasina akaita seaikwanisa kuzviona. Zvino, kuratidza kuti raive risiri simba CHAIRO rakanaka, vanhu ava (chero zera rechipiri risati rasvika) vakagadzira, vakanyora dzidziso dzavo dzisimo muMagwaro vakavaka ruzhowa rwavo sezvavaiona zvichiitwa nemamwe mapoka ese aive pamberi pavo.
Mapoka emharidzo akaita kukanganisa kumwechete uku kwakaitwawo nevePentekositi. Vakaparidza kubva pane zvavakabata paitaura vanhu, vakavaka dzidziso dzisiri Mumagwaro.
Asi kana kukwira kudenga mukubwaira kweziso kuchaitika nhasi, kusaziva hakuzokwanisa kutimiririra kubva pakutonga kwaMwari kana tikawanikwa tiri munzvimbo dzakaipa.
1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9
Iyi ndiyo kereke yakarongwa yemazuva ekupedzisira, nekuti rinoti muvhesi 4, “Budai mariri VANHU VANGU”. Kukwira kudenga mukubwaira kweziso (repucha) hakusati kwaitika. Mwenga haasati aenda panoitika zvinhu zvakaipa izvi mukereke yakapfuma, yemanyepo.
1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 5 PERGAMOS.
Jesu ndiye achava mupatsanuri pakati pemasangano nezviyera yera, nekuti achadzoka kuzotsigira Shoko rake nekutora Mwenga wake kuenda naye kudenga mukubwaira kweziso.
1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 1
Sekuunza kwakaita maJuda mharidzo kuvaHedeni, saizvozvo wo maHedeni achadzorera mharidzo kumaJuda, ipapo kukwira kudenga mukubwaira kweziso kunobva kwauya (Repucha).
65-1207 HUTUNGAMIRIRI
Makambonyatsozvitarisa here, pamberi paMwari? Munonzwa kuti hamusi pamunofanira kuva muri chaipo panguva ino here? Nekuti kukwira kudenga mukubwaira kweziso kunogona kuuya chero nguva.
65-1206 ZVIITIKO ZVANHASI ZVINOJEKESWA NECHIPROFITA
Tiri kurarama munguva yeMwenga, yekudanwa kweKereke nekuunganidzwa kwayo kuti ikwire kudenga mukubwaira kweziso.
Mumwedzi yekupedzisira yehupenyu hwake Hama Branham vaive vachiri vakatarisira kuuya Kwashe nekukwira kudenga mukubwaira kweziso kwevatsvene. Ivo nesu zvese hapana anoziva kuti zvichave riini.
Hushumiri hwake hwaive hwekudzorera zvakavanzika zvinogadzirira mwenga Kuuya kweChipiri kwaJesu Kristu.
Chakavanzika 10
“Hapana anoziva chaive muKutinhira uku.”
Saka hatizivi chakavanzika chezvakarehwa neKutinhira.
Vafundisi vemapoka eMharidzo vanoti vanoziva zvakarehwa neKutinhira.
Hama Branham havana kubvira vati “Kutinhira kunomwe kwakareva”.
1965 NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA- - BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9
Yaive yanguva yekupedzisira apo Kutinhira kunomwe kwaJesu kwakauya.
Zvakazarurwa 10:3-4, “Akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira: akati adanidzira, kutinhira kunomwe kwakareva manzwi ako.
Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva mazwi ako, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga richiti: Zarira zvarehwa nekutinhira kunomwe, usazvinyora.
Chii chaive mukutinhira uku hakuna anoziva.
Asi tinofanira kuziva. Uye zvichada muprofita kuti tiwane zaruriro nekuti Mwari haana imwe nzira yekuunza nayo zaruriro pamusoro peMagwaro kunze kwemuprofita.
Bhuku iri rakashambanzwa mugore 1965. Gore rekupedzisira rehupenyu hwake.
Muprofita chete ndiye aikwanisa kuwana zaruriro yeKutinhira kunomwe. Asi hama Branham havana kubvira vawana zaruriro iyi nekuti chero nguva yekereke yekutanga haina kuwana zaruriro iyoyo. Nei? Nekuti hazvina kunyorwa muMagwaro. Hakuna muprofita ariko nhasi uno anogona kuwana zaruriro iyi.
Saka chakavanzika ichi chichaziviswa chete kana vakafa vamuka. Hakuna achagona kuchizivisa izvi zvisati zvaitika.
Kutinhira kuchavako kutigadzirira kuti tikwire kudenga kunosangana naShe. Tinogona chete kuita saizvozvo kana tava mumuviri mutsva. Tichashandurwa chete mumashure mekumutswa kwevakafa. Ipapo chete ndipo pachauya Kutinhira kuzotigadzirira kuti tiringane pakukwira kudenga Mukubwaira kweziso.
Kana muchiziva Kutinhira, muchiri kuitei pano? Munenge makatopesana nechimwe chinhu. Saka mugore 1965, akati hatizivi zvaive muKutinhira kunomwe.
65-08 22 KRISTU ANOZIVISWA MUSHOKO RAKE.
… Zvino Kutinhira kunomwe kunoreva manzwi ako, Johane aive oda kuzvinyora ... zvaive ... Johane aiziva kuti zvaive, asi haana kuzvinyora, ‘nokuti akarambidzwa kuzvinyora. Izvozvo zvikuru zvakadaro uye ndicho chakavanzika. Hazvisi mumicherechedzo kana chii. Tinongoziva kuti kwakatinhira; ndizvo chete.
63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU
Zvino Gwaiana rakatendevuka zvakare rikatora chimwe Chisimbiso kuchibva kwabuda rimwe bhiza dzvuku. Chaive chichiri chinhu -chakati vanzikei, chaive chisiri here paakachizarura? Akaenderera mberi akati, muzuva kutinhira kunomwe uku kusati kwareva, zvakavanzika zvese zvichaziviswa.
Kutinhira kunomwe hakusi chikamu chezvakavanzika zvakaziviswa nehama Branham.
Zvakavanzika zvakanyorwa zvese zvinofanira kuziviswa Kutinhira kunomwe kusati kwareva.
1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 10
... Zvino Kutinhira kunomwe kunoreva manzwi ako, Johane aive oda kuzvinyora ... zvaive ... Johane aiziva kuti zvaive, asi haana kuzvinyora, ‘nokuti akarambidzwa kuzvinyora. Izvozvo zvikuru zvakadaro uye ndicho chakavanzika. Hazvisi mumicherechedzo kana chii. Tinongoziva kuti kwakatinhira; ndizvo chete.
Kutinhira kunomwe ndiko chakavanzika chakazara.
Vese vasikana vakachenjera nevasikana mapenzi vaive vakavata vakakotsira. Saka vasikana vakavata vanomuka riini?
63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU
Zvino, ndicho chikonzero nhasi chekuti mutsiridzo yataifanira kuwana. Tine mutsiridzo dzemasangano; hatisati tasangana nekusanganiswa kwakazara. Kwete,kwete, kwete, kwete, baba. Musafunge kuti tine kumutswa. Hatisati. Oh, vane nhengo dzekereke mamiriyoni nemamiriyoni nemamiriyoni, asi kumutswa chaiko havana. Kwete, kwete.
Mwenga haasati awana kumutswa. Mazviona? Hakuna kumutswa uko, hakuna kuzviratidza kwaMwari kuti asanganise Mwenga. Mazviona? Takakutarisira. Zvichatora kutinhira kunomwe kusingazivikanwe kuti kumumutse. Achakutumira. Akavimbisa izvozvo. Zvino, zvino, tarirai. Zvino aive afa.
Nekuti kutinhira kunomwe hakuzivikanwe, hatizivi kuti kuchareva rini uye sei.
Asi kutinhira kusingazivikanwe uku kuchaita chimwe chinhu chinotevera Magwaro zvakazara, Mwenga anorarama neShoko rakayorwa muBhaibheri achaziva zvakunoreva. Vaya vanofunga kuti Kutinhira kwakareva manzwi ako kare vachapesana nekureva kwekutinhira pakuchauya.
63-0324 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino namazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvese zvichaziviswa. Kuchibva kwauya kutinhira kunomwe.
... Chakavanzika chaMwari chikuru chekuti sei, ndicho chakavanzika. Akachichengeta chakavanzika. Hakuna anoziva chero chinhu nezvacho. Chero vatumwa havana kuchinzwisisa. Mazviona. Haana kuchizivisa. Ndicho chikonzero nei, pasi pechakavanzika chedu chechinomwe, pakazarurwa Chisimbiso chechinomwe, kwakaita runyararo. Jesu paaive panyika, vaida kuziva kuti achadzoka rini. Akati, “Hakuna ... chero Mwanakomana womunhu pachake haazivi kuti zvichave riini.” Mazviona, Mwari akachengeta izvi mumoyo make. Ndicho chakavanzika. Chakavanzika. Uye ndicho chikonzero nei kwakaita runyararo kudenga kwehafu yenguva, Kutinhira kunomwe kukareva manzwi ako Johane akarambidzwa kuzvinyora, mazviona, ndiko kuuya kwaShe. Ndicho chinhu chimwechete chaasati azivisa, kuti achauya sei, uye kuti achauya riini. Chinhu chakanaka kuti haana kutizivisa. Kwete.
... Zvino, Kuuya kwaShe kwakavanzika. Hatizivi kuti ari kuuya riini, uye ari kuuya sei, asi tinoziva kuti ari kuuya. Mazviona? Zvimwechete nezvakavanzika zvaMwari zvakamirira zuva rekupedzisira iri. Kana apedza, anobva azivisa nekuratidza zvaakaita. Oh, mai! Haana kubvira apa chakavanzika chake chizere.
Chekutanga zvakavanzika zvinofanira kuziviswa. Izvi zvakaitika kusvika kupera kwegore 1965. mumashure megore iri Kutinhira kunomwe kwaive kwakukwanisa kureva.
Hatizivi kuti ari kuuya riiki, kana kuti ari kuuya sei, asi tinoziva kuti ari kuuya.
Hatitozivi kuti Kutinhira kunomwe kuchareva kuchibva kudenga kana kuchibva panyika.
62-12 30 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA
Tarirai kuti izwi raive muKutinhira raivepi, kwete kudenga, panyika. Kutinhira hakuna kureva kuri kudenga; kwakareva kuri panyika.
Pano hama Branham vanoti Kutinhira kunoreva kubva panyika.
63-03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Zvino, zvino, munoona here pakuzarurwa kweChisimbiso chechinomwe ichi, chiriwo muchimiro chehushumiri hwemabasa matatu. Uhwu hwandinahwo ... ndichataura, uye ndakataura, kuti ndicho chakavanzika cheKutinhira kunomwe. Kutinhira kunomwe kudenga kuchazivisa chakavanzika ichi. Zvichave pakuuya kwaKristu chaipo, nekuti Kristu akati hakuna anoziva kuti achadzoka riini.
Apa anoti Kutinhira kuri Kudenga.
Saka chinhu chakanaka kungosiyana nekutinhira uku. Tiri kungofungidzira, zvisina wazvinobatsira.
63_0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
Kutinhira kunomwe kwakati kwareva manzwi ako, ndaive ndoda kunyora: ndikanzwa izwi richibva kudenga richiti, simbisa zvinhu izvo zvarehwa nekutinhira kunomwe, usazvinyora. Zvino, ndizvo zvatisingazivi. Ndizvo zvichaziviswa: hazvisi muMagwaro Matsvene, zvakataurwa neKutinhira.
Kutinhira hakuna knyorwa muBhaibheri, saka hatina micherechedzo yekuturikira.
Chero zvamunotaura pamusoro pezvakwakareva kana kuti kwakareva riini, muri kungofungidzira. Izvozvo zvinotyisa.
Chakavanzika 11
Nyasha dzakaguma? Kwete hadzisati. Asi hatizivi kuti nyasha dzichaguma riini.
61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 2
Rekupedzisira racho ndiZvakazarurwa 10, “Tsoka panyika nepamusoro pegungwa,” nguva yaguma, dzikinuro yadarika, nekuti anodzoka seShumba. Paya aive Gwaiana, zvino anodzoka ava Shumba yerudzi rwaJuda.
Nyasha dzinoguma panodzoka Vatumwa.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Ndinotenda, nemoyo wangu wese, chigaro chichiri chakazaruka. Ndinotenda achiri pachigaro chaMwari, asi nekukasika achasimuka ouya kuzotora vaakadzikinura.
Asi mavhiki matatu mumashure mekuonekwa kweGore, Hama Branham vakati Jesu achiri pachigaro chaMwari achasimuka imwe nguva munguva inouya. Saka Gore harina kugumisa nguva kana kugumisa rudzikinuro. Gore, iro hama Branham vaive vasina chavanoziva nezvaro panguva iyoyo, rakaonekwa nguva duku yemaminetsi 28 kumusoro kweguta reFlagstaff rikaramba riri kudenga chinhambo chemamaira 42. Gore iri harina kubvira raburuka musi wa 28 Kurume 1963. Kwaive kusina ainzwa Mweya zvakakwana pasi peGore iri kuti agamuchire vatumwa vakaita Gore iri. Hama Branham vaive kure mamaira 200 kuzasi kweguta iri vari kuTucson musi iwoyo.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Anogona kubva pachigaro chero nguva ari pakuyananisira kwake; ipapo munogona kuchema nemoyo wenyu wese, munogona kuungudza, munogona kutaura nendimi, munogona kumhanya muchikwidza nekudzika, munogona kuita chero chinhu chamungade nekupinda makereke ese panyika; hakuna chichiriko, hakusisina kucheneswa kwezvivi zvenyu. Zvino chii chamucha- muripi zvino?
63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU
Gwaiana rinogona kubva panzvimbo tsvene chero nguva kana pachigaro chechipiriso, ouya kubva pachigaro chaMwari paive pakaiswa chipiriso, ipapo zvinenge zvapera. Kunenge kusisina tariro kunyika; inenge yapedzwa nayo. Inobva yapinda mumarwadzo ekuomerwa kukuru kwekudengenyeka kwenyika, nekuzunzwa kukuru sezvazvakaita pakumuka kwake kuvakafa.
Uye sekumuka kwakaita Kristu kubva muguva, pakamukawo vatsvene, chinhu chimwechete ichi chichaitika zvakare. Ishe, zvinogona kuitika chero nguva. Takatarisira zuva remufaro iroro kuti risvike.
64-0427 KUYEDZWA
Ndinoda kugumira pano, ndiri mupupuriri waNoah, uye zivai izvi, kuti kuchauya nguva yekuti kana vanhurume nevanhukadzi, kereke, vachaenda vachinoparidza nekutenda kuti vari kuponeswa, apo mukova uchapfigwa sezvawaive wakaitwa paya. Kana musiri mukati, pindai izvozvi, ‘nekuti Mwari achazarira mukova uye kuchange kusisina tsitsi. Akati, “sezvazvaive mumazuva aNoa, ndizvo zvazvichava pakuuya kweMwanakomana wemunhu.”
... Rimwe remazuva, varume nevakadzi vachachema. Kuchava kuresa kuti vakanonoka. Mukova uchange wapfigwa. Jesu anoti ndizvo zvazvichava. “vasikana vanouya vachigogodza pamukova, vachiti ‘Tizarurirei.’ Vaive vaenda kunotsvaga mamwe Mafuta. “asi vaifanira kutora Mafuta paipihwa vamwe Mafuta. Vakagogodza pamukova. Bhaibheri rinoti, “Vakakandirwa kurima kwaizova nekuchema nekugeda-geda kwameno.”
1964, aive achitaura pamusoro penguva yaizouya yaizopfigwa mukova wenyasha, makereke achava mumarwadzo. Parizvino makereke ese akavarairwa, kusanganisira mapoka akasiyana siyana emharidzo.
Kune masangano akasiyana-siyana anodarika 45 000 emakereke, mapoka, chiKristu. Rimwe nerimwe rinofunga kuti rinogona kwazvo. Rimwe nerimwe rinofunga kuti harina charingade. Vanofunga kuti havadi kugadziriswa, saka vanoramba kugadziriswa. Saka chinhu ichi chese chakuita kunge chinotyisa kwazvo sekutaura kunoita Bhaibheri kuti kereke yeRaodikia ibofu asi haizivi. Zvinosanganisira tese imi neni. Tese tiri panjodzi.
VAFIRIPI 2:12 Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakaterera nguva dzose, ndisati ndiri’po bedzi, asi zvikuru zvino kana ndisisipo, pedzisai kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera.
Gwaro iri rinofuratirwa nemaKristu anoti ane zvese akagutsikana nepaamire vanotonga kubudirira kwemakereke avo nekuwanda kwavo uye nekupfuma kwavo. Kuzvikudza, kuzvitutumadza, nekuzvivimba zvakanyanya ndizvo zviratidzo zvekuita kwehukama hwavo naMwari.
I TIMOTIO 6:5 Nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakavodzwa, vakatorerwa zvokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa.
64-0417 ZVINO JESU AKAUYA AKADAIDZA
Kudzikinurwa zvinoreva kuti “kudzoswa kubva kwaakawira.” Murudzi rwevanhu, aive awira muzvivi. Uye haagoni kuzvibvuna izvozvi; achiri muduku zvakanyanya. Saka kereke ichangoendererawo saizvozvo, ichingoitawo saizvozvo, ichaita misangano, nezvimwe zvakaro, kusvikira munhu wekupedzisira aunzwa, zvino Bhuku iya inobva yazarirwa, hachina anozonyorwamo. Ipapo zvinenge zvaguma.
Kusvikira, nguva iyoyo ichava riini, hakuna pakati pedu anoziva. Asi ngatirambei tichiita zvese izvo tinogona, pakukudzwa kwake, kusvikira nguva iyo yapera. Hatizivi kuti munhu iyeye ndiyani. Inogona kuva yakatokwana, tangomirira Kusvika kwake chete. Hatizivi. Uye hazvimboziviswi kuvanhu, nguva yeKuuya kwake. Hatizivi. Uye hazvifi zvakaziviswa kuvanhu, nguva yeKuuya kwake, nekuti chero vatumwa veDenga havazivi kuti zvichava riini. Asi takazvitarisira chero nguva, uye takamirira, takarindira Kuuya kwake.
Hakuna anoziva pakati pedu kuti nyasha dzichaguma riini.
63-1130 ENDA UNOMUTSA JESU
Rimwe zuva kana Bhuku redzikinuro rapedziswa, Gwaiana rinoritora. Zvino zita rekupedzisira inodanwa kubva imomo, Gwaiana rinouya kuzodaidza varakadzikinura, Kereke yake yechokwadi.
Ndinotenda kuti nguva iyoyo yaswedera.
Rimwe zuva (munguva inouya) rudzikinuro runoguma. Apa yaive mwedzi misere mumashure mekuziviswa kwezvisimbiso, asi aive achiri kutaura pamusoro penyasha.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Zvino, zvakavanzika zveBhuku zvinoziviswa panozarurwa Zvisimbiso. Uye kana Zvisimbiso zvapedza kuziviswa, nguva yedzikinuro inenge yaguma, nekuti Gwaiana rinenge rabva pachigaro chekuyananisira richiuya kuzotora varo. Aive Mumiririri pakati pazvo, asi kana zaruriro chaiyo yaitwa pazvisimbiso pazvinotanga kuzarurwa, Gwaiana rinobva rabva panzvimbo tsvene. Izvi ndizvo zvinotaura Shoko. Takazviverenga husiku hwakadarika. Anobva -- achibva pakati kunotora Bhuku. Saka anenge asisiri Mumiririri, nekuti chero ivo vanomudaidza vachiti Shumba, uye ndiye -- ndiye Mambo, anenge asisiri Mumiririri ipapo.
Zvisimbiso zvinomwe hazvina kuzarurwa zvakazara. Chisimbiso chechinomwe chakasiiwa chiri chakavanzika.
1964-07-19 MUTAMBO WEHWAMANDA
Chisimboso chechinomwe hachisati chazarurwa, munozviziva. Ndiko Kuuya kwake.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
Munoziva patinoyenzanisa Magwaro pano Mateo 24 neZvisimbiso zvitanhatu, Chisimbiso chechinomwe chakasiiwa; nekuti, Kristu Mwari iye ega pachake ndiye anoziva, kwete chero vatumwa. Hazvishamisi nei, hachina kubvira chanyorwa. Muri kuona, vakanyararidzwa; hakuna chakaitika ipapo. Vatumwa havachizivi; hakuna anoziva kuti ari kuuya riini. Asi kuchava nemazwi manomwe ekutinhira uku achazivisa chakavanzika chikuru ichi panguva iyoyo.
63-1110 MWEYA IRI MUHUSUNGWA NHASI
Rangarirai, Zvisimbiso Zvinomwe zvakapedziswa, uye kana Chokwadi chinomwe ichi chikaziviswa ...
Chimwechete chacho, haatitenderi kuti tichizive. Vangani vaive pano paZvisimbiso Zvinomwe, vakanzwa? Mese ndinofunga kudaro. Mazviona, Chisimbiso cheChinomwe, haana kuchitendera.
63-0317E MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
Baba vedu vari kudenga, handichaziva zvekuita asi kutaura zvakataurwa neShoko renyu. Pano pane vanhu vakamira netsoka dzavo vanonzwa kuti havasi pavanofanira kuva vari chaipo – vakagadzirira kukwira kudenga mukubwaira kweziso repucha iyi; nekuti zvinogona kuitika Chisimbiso chekutanga chisati chazarurwa kwatiri.
Uye Baba, ndinovanamatira. Ini semuranda wenyu ndinouya nemunamato uyu kumumiririri mukuru Kristu; pavanonamata, ndinoisa munamato wangu pamwechete navo pachigaro chenyu chehushe chaMwari apo Chipiriso chine ropa chigere husiku hwanhasi nekuti chero nguva munokwanisa kusimukapo kuuya kuzotara vakarurama venyu. Ipapo kunenge kusisina nyasha; asi kutongwa chete.
… Huyai Mumiririri achiripo, sekuziva kwangu, achiri pachigaro chenyasha achitiyananisira, nekuti zuva richauya pamuchada kuuya, asi kunenge kusisina mumiririri.
63-0623E CHIEDZA CHITSVUKU CHINOPFUTA CHIRATIDZO CHEKUUYA KWAKE
Chii chichaitika? Chaizvo sezvazvakaita mumazuva aNoa. Rimwe zuva, musuwo wenyasha uchapfigwa. Magwaro oti, “nzvimbo tsvene ichapwititika,” izvi zvinoreva kuti muyananisiri anenge abva pachiri. Asi kana Gwaiana richiripo ipapo.... sezvandareva mangwanani anhasi, kana pamwe pandakaparidza, kuti, kana Gwaiana richiripo kutiyananisira, kuchiri nenyasha.
65-0117 MHERE
Izvozvi achingori zvimwechete zvo nhasi. Hamufaniri kuva muri pano. Zvino, Bhaibheri rinotaura izvozvo muTestamente Itsva, kuti, “Jesu Kristu ndiye muPrista wedu Mukuru.” tinozvitenda here? MuPrista mukuru mumwechete watinaye, muyananisiri mumwechete pakati paMwari nevanhu, ndiye Munhu, Jesu Kristu. Munozvitenda here izvozvo. Bhaibheri roti, “Ndiye Muprista Mukuru anogona kubatwa nekunzwa kwekuungudza kwemoyo yedu pakupfidza matadzo.” ndizvo here? Vangani vanoziva kuti izvi ichokwadi?
65-0426 KUTSIGIRA SHOKO RAKE
Muyananisi nhasi, muyananisi achiyananisira vaakadzikinura. Vese vane mazita akanyorwa muBhuku reGwaiana reHupenyu, vakadzikinurwa.
1965, gore rekupedzisira rehupenyu hwake, Jesu aive achiri kuyananisira zvivi kune vatadzi.
Zvimwe zvese zvamunotenda kubva kune zvimwe zvakabatwa paaitaura, hazvigoni kurwisa kutaura kwaakaita uku kwese kwakabva mumakore matatu ekupedzisira ehushumiri hwake.
Kune zvimwe zvakavanzika zvitanhatu muchikamu chechipiri chedzidziso ino.
Chakavanzika 12. hatizivi kuti kuonekwa kwaKristu kuchava riini.
Chakavanzika 13. Zvisimbiso zvinomwe hazvina kuzarurwa Kudenga. Tine kuratidzirwa kwazvo patakawana zaruriro yekuzarurwa kwezvisimbiso panyika. Chiitiko chisati chaitika, kunofanira kuva nezaruriro yechiitiko chacho.
Chakavanzika 14. Hatizivi Zita idzva raJesu.
Chakavanzika 15. Zvakaipa kusimudzira hama Branham nekuisa zvaakataura pamusoro kana kuzvienzanisa neMagwaro. Akauya kuzozivisa Magwaro, kwete kuzonyora Magwaro.
Chakavanzika 16. Kuchaberekwa vana here muMereniyamu?
Chakavanzika 17. Hatizivi kuti Mutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 anoburuka riini.
Vanoenda kumakereke havagoni kufunga zvakazara nekuti kereke yeRoma ndiyo mai mhombwe vakabereka vanasikana mhombwe (mamwe makereke ese asiri Roman Catholic). Saka munhu wese anoguma atevera muenzaniso weCatholic.
KumaCatholic Pope anoonekwa “seZwi raMwari” saka zvakadaro, zvisinei nekukanganisa kwake, anodaidzwa kuti “haakanganisi”. Tarisai kuti izvi zvakateedzerwa nemo nemo sei nevatendi veMharidzo.
Mharidzo dzehama Branham dzinotengeswa nevashambadzi vanonzi “veVoice of God”. Vafundisi veMharidzo vanoti chinhu chakaipa kuedza “kugadzirisa muprofita”. Kana asingagoni kutsiurwa nekugadziriswa, zvinorevaka kuti “haatadzi”. MaCatholic vanotya kwazvo kuedza kugadzirisa Pope. Vanotenda kuMharidzo vanorambwa mumasangano kana vakaedza kugadzirisa zvakataurwa neHama Branham, zvakafanana nekufungira kwaakaita kuti America ichaparadza muna 1977, nekufunga kuti hama Branham vaive pasi peGore guru rakaitwa nevatumwa paFlagstaff musi wa28 Kukadzi 1963. Aitove kure mamaira 200 kuTucson asina kana chaaiziva nezveGore panguva iyoyo. Vaparidzi vemharidzo vakaturikira zvavakabata paaitaura vakati Hillary aizosarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica musarudzo dza 2016. Akakurirwa pasarudzo. Mwari ari kuisa yambiro kwatiri pamusoro pevatungamiri vemapoka eMharidzo vakavodza zvavakabata paitaura hama Branham. Vaparidzi ava vakangopukuta zai kubva pazviso zvavo vakaenderera mberi vachiparidza. Hatingati Mwari haana kutiyambira pamusoro pehutungamiri hwedu vanofanira vachitidzosera pane zvakataurwa neMagwaro.
Saka boka rimwe nerimwe reMharidzo rakatozvisimbisa pakuturikira kwaro kwarinoita zvavakabata pane zvakataurwa vachiramba chero munhu anoedza kuvagadzirisa anobva kunze kweboka ravo. Kuita kweRaodikia, “havashaiwe chinhu”, vanonzwa kuti havadi kutsiurwa kana kugadziriswa.
Asi makereke ese eRaodikia (mapoka eMharidzo nemasangano ese) tinotsanangurwa semapofu. Hapana kusarudzwa kuti ani asi tese tiri mapofu zvichibva paMagwaro.