Tembere ichavakwazve here munguva yeKutambudzika kukuru? Chikamu 2
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Tembere ichavakwazve here munguva yeKutambudzika kukuru? Zvinogona kudaro. Asi hakuna vhesi reBhaibheri rinoprofita izvi.
First published on the 7th of April 2021 — Last updated on the 7th of April 2021Kuvakwazve kweTembere munguva yeKutambudzika kunoramba kuri chakavanzika kana tisina Magwaro anotsigira nekusimbisa izvozvo.
Kune Magwaro akajeka here anoprofita kuti maJuda achavakazve Tembere munguva yeKutambudzika?
Chekutanga, nzvimbo yaive yakavakirwa Temberi haisi kunyatsozivikanwa.
Vadzidzi vazhinji vanoisa Tembere paGomo reTembere (bokisi guru rakaenzana mativi maviri maviri rine mativi matatu akanyorwa neruvara rutsvuku) padyo neDome of the Rock (pakanyorwa D). Asi Dombo guru haringave paburiro rakauya naDavidi kuti rive paTembere.
Nheyo dzeburiro dzinofanira kuva dziri nheyo dzakatsetseka dzinopurirwa kupatsanura mbesa nehundi.
Vamwe vadzidzi vanoisa Tembere yekutanga kuzasi pedyo nechisipiti cheGihoni (bhokisi rakaenzana mativi ese reruvara rutsvuku). Iyi ndiyo yega nzvimbo inowanikwa mvura padyo neGomo reTembere.
PaTembere paidiwa mvura.
MAPISAREMA 87:5 Zvirokwazvo, pamusoro peZiyoni vachati, "Uyu nouyo vakazvarirwamo; Naiye Wokumusorosoro amene acharisimbisa."
MAPISAREMA 87:7 Vanoimba navanotamba, vachati, matsime angu ese ari mauri.
MaPisarema aDavidi akayananisa Zioni nematsime.
NEHEMIA 2:15 Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuo roMupata, ndikadzoka saizvozvo.
Paive nerwizi kana rukova pedyo nemasvingo aizovakwa naNehemia paakavakazve Jerusarema.
NEHEMIA 3:7 Kurutivi rwavo kwakagadzirwa naMeratia muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, navarume veGibhiyoni neMizipa, vaiva voushe hwomubati mhiri kworwizi.
Zvakare rwizi rwunoyanana nemasvingo aivakwa nekugadziriswa naNehemia.
Saka kana Tembere ichavakwazve munguva yeKutambudzika kukuru, Gomo reTembere ranhasi uno richava nzvimbo yakaringana here?
Pane kupokana panyaya iyi.
Josephus munyori wenhorondo anoti maRoma akaparadza zvakazara masvingo eJerusarema. Sezvo Jesu akaprofita kuti vachadaro. Asi zvidhinha zvemabwe 10,000 zvakapoteredza Gomo reTembere. Saka vadzidzi vazhinji vanotenda kuti gomo reTembere riri pakavakirwa Foti Antonia yemaRoma huru kwazvo yaigara vanhu 5000 veRigioni yechigumi nevabatsiri vavo 5000. Josephus akati Foti iyi yaive guta raive mukati merimwe guta. Riine vanhu 10,000 vaida nzvimbo yekuraramiramo. Izvi zvinoreva kuti masvingo aya akaramba aripo nekuti aive asina chekuita neTembere, asi aive akakoshera kuchengetedza mauto evaRoma.
Munofanira kuitawo mafungiro enyu panyaya iyi.
Mugore 1067 kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru kwazvo. Vanhu 25,000 vakafa chimiro chenzvimbo iyi chikashanduka. Tsime reGihoni rakatanga kubuda mvura inovava.
I MADZIMAMBO 1:38 Ipapo Zadoki mupirisiti, naNatani muporofita, naBenaya mwanakomana waJehoyada, navaKereti navaPereti vakaburuka, vakatasvisa Soromoni pahesera ramambo Davidi, vakamuisa Gihoni.
39 Zvino Zadoki mupirisiti akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, "Mambo Soromoni ngaararame!"
Soromoni akazodzwa kuti ave mambo paGihoni. Saka chisipiti cheGihoni chaive nzvimbo yakakosha kwaari.
MaJuda mazhinji echiOthodox vanotenda kuti Messiasi anofanira kuvakazve Tembere kwete maJuda.
ZEKARIA 6:12 Utaure naye, uchiti, `Zvanzi naJEHOVA wehondo, Tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJEHOVA
13 Ndiye achavaka temberi yaJEHOVA; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupirisiti pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri.
15 "Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJEHOVA; ipapo muchaziva kuti JEHOVA wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJEHOVA Mwari wenyu."
Izvi zvinonzwika zvakanyanya seTembere yenguva yeMereniyamu inotaurwa nezvayo naEzekieri. Jesu achavaka Tembere yemakore 1000 erugare, asi hakuna Magwaro anotaura kuti achavaka Tembere munguva yeKutambudzika kukuru.
Ishe pavachadzoka kumaJuda pakupera kwenguva yeKutambudzika, kuchaitika kudengenyeka kwenyika kukuru apo Gomo reMiorivi richapatsanuka kuita mahafu maviri.
ZEKARIA 14:4 Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi.
Gungwa rakafa rinoratidzwa muruvara rwedenga kana bhuru pazasi kurutivi rweruboshwe. Gungwa riri muruvara rwebhuru yakadzima reMediterranean riri kuonekwa pedyo nekumusoro. Gomo reMiorivi riri kuratidzwa muruvara rweshizha kana girini. Jerusarema iri kuratidzwa muruvara rweyero. Chero Tembere inovakwa pedyo neGomo reMiorivi, pane Gomo reTembere, haiiti seingazorarama kana kupona kubva pakuparadzwa.
Pakuedza kwavo kutsvaga Magwaro kuti variramisire kuvakwazve kweTembere vamwe vanhu vanoshandisa Mabasa Chitsauko 15.
MABASA 15:14 Simeoni [Simoni Petro] wakarondedzera mutangire waMwari kumutsa vahedeni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake.
15 Namashoko avaprofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:
16 Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabernakeri yaDavidi, yakawa;Ndichavaka zve matongo ayo, Ndichiimutsa;
Davidi akaunza Tabernakeri muJerusarema mayakagara kusvikira Soromoni avaka Tembere.
Asi Davidi aive neTabernakeri yaive tente, kwete Tembere.
Mufananidzo unotevera unoratidza kuti Tabernakeri yaive yakamiswa sei.
Simoni Petro pazuva rePentekositi akatanga kuvaka Tabernakeri yaMwari yeMweya.
Akanongedzera Muponesi akarovererwa. Tabernakeri yakamisikidzwa mumufananidzo wemuchinjikwa.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
Tarirai nhanho nhatu dzaPetro. Kutendeuka kunotangira patsoka dzemuchinjikwa. Kwakamiririrwa nearitari yechipiriso.
Bapatidzwai muzita raJesu Kristu. Dziva remvura.
Mogamuchira Mweya Mutsvene. Munhu anenge apinda munzvimbo tsvene.
Imomo mune chigadziko chemwenje minomwe netafura yezvingwa gumi nezviviri zvekuratidzira.
Zano raMwari reruponeso kuvaHedeni mukati menguva nomwe dzemakereke uye kumarudzi gumi nemaviri aIsraeri munguva yeKutambudzika.
Kana maJuda 144,000 vakapinda, zano raMwari rinenge razadziswa tabernakeri yake yeMweya inenge yapedziswa yaaive achivaka mukati menguva nomwe dzemakereke.
Hapana pakati pezvese izvi chinoda huvepo hweTembere yemaJuda yakavakwa panyika.
Makiyi aPetro ekupinda denga anongoda kuti munhu atendeuke, obapatidzwa nemvura, nekubapatidzwa neMweya Mutsvene. Izvozvo zvakazarurirwa munhu wese pasi rese. Mumwe wevanoenda nzendo dzekumwedzi wekuAmerica akasangana naJesu parwendo rwake rwekuenda nekudzoka kumwedzi. Hamudi Tembere yemaJuda inooneka kana kubatika kuti muponeswe. Munhu wekutanga kuponeswa, mbava pamuchinjikwa, aive asiri muTembere uye aisazotenderwa kupinda muTembere nekuda kwezvivi zvake.
Saka kuvakazve Tabernakeri hakuna chekuita nekuvakazve Tembere munguva yeKutambudzika kukuru.
MABASA 7:45 Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedeni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDavidi.
Joshua aidaidzwa kuti Jesu. Akatungamirira maJuda kupinda muNyika yeChipikirwa akatanga basa rekutapa maHedeni aigara Munyika yeChipikirwa. Kutapa uku kwakaenderera mberi kusvikira mumazuva aDavidi akakurira vaFirisitia.
[Joshua. Yehoshua kana kuti Yeshua muchiHeberu zvinofambirana nekuti Iesous muchiGiriki zvinoreva kuti Iesus muchiRatini nekuti Jesus muChirungu Jesu muChishona.]
MABASA 7:46 Iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobo pokugara.
MABASA 7:47 Soromoni akamuvakira imba.
MABASA 7:48 Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti:
Davidi akakumbira kuvakira Mwari tabernakeri.
Soromoni akamuvakira imba kana kuti Tembere asi Mwari haagari mutembere yakavakwa nevanhu.
Mwari anoda kugara mumoyo yevanhu vakazvarwa patsva.
II VAKORINTE 5:1 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yenyika, tabernakeri yedu, ichiputswa, tinechakavakwa chinobva kunaMwari, imba isina kuvakwa namavoko, isingaperi, iri kudenga.
Pauro anoenzanisa miviri yedu netabernakeri inofanira kuparadzwa parufu. Saka tabernakeri yedu yechokwadi iri Kudenga.
VAHEBERU 8:1 Zvino, shoko guru panaizvozvo zvatataura, ndiro kuti: TinomuPrista mukuru wakadai wakagara kurudyi rwechigaro chovushe chovumambo kudenga;
2 Iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabernakeri chaiyo, yakamiswa naShe, isina kumiswa nomunhu.
Tabernakeri yechokwadi haivakwi nemavoko evanhu. Inomiswa naJesu, mumoyo wemunhu.
VAHEBERU 9:11 Asi Kristu wakati asvika ari muPrista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozovuya, akapinda napatabhernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti isati iri yokusikwa kuno,
Hakuna zvivakwa zvakavakwa nevanhu panyika zvinogona kuita tabernakeri chaiyo.
VAHEBERU 13:10 Isu tinearitari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabernakeri
Kubatira Mwari mutabernakeri hakuna kwazvinotipa. Moyo yedu inofanira kururama pamberi paMwari.
ZVAKAZARURWA 13:6 Chikashamisa muromo wacho kuti chimhure Mwari, nokumhura zita rake netabernakeri yake naivo vanogara kudenga.
60-1208 NGUVA YEKEREKE YETIYATIRA
Akazarura muromo wake akamhura Mwari, (“achidzidzisa dzidziso iri mirayiro yavanhu; vanoda hukuru, vanemifungo yekuzvisimudzira; vadi vemafaro; vanozviti vanonamata, vachiramba simba rake zvirokwazvo”).. vanomhura zita rake, (Vakatora, “Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene” pachinzvimbo chaIshe Jesu Kristu.”)
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Akazarura muromo wake achimhura Mwari, ... (Ndizvozvo. Mazviona?...) kuti vamhure Zita rake, ... (vakamupa chinzvimbo) ... mutabernakeri make ... (nzvimbo inogara Mweya Mutsvene, kuiita nzvimbo yeRoma, guta reVatican; munokwanisa kuenderera mberi) ... nevanogara kudenga. (kuvamhura nekutaura kuti vaingova vayananisiri)
Vakamhura vatsvene vakafa nekuvadaidza kuti vayananisiri. Iyi itsika yechipegani yekunamata vadzimu yakavanzwa muchiKristu.
Tabernakeri yeMweya Mutsvene moyo yevarume nevakadzi vakazvarwa patsva. Roma yakanyepa kuti tabernakeri yaMwari yaive Vatican.
Kuita chivakwa tabernakeri yaMwari kumhura Mwari.
Mwari anoda kugara mumoyo yevanhu chete.
ZVAKAZARURWA 15:5 Shure kwaizvozvo ndakatarira ndikavona tembere yetabernakeri yovuchapupu yokudenga yakazarurwa;
Tabernakeri yechokwadi neTembere zviri Kudenga.
Saka hakuna Tembere ingavakwa nemaJuda munguva yeKutambudzika inogona kuva chivakwa chingagare Mwari nechero nzira.
Rimwe reMagwaro rinobatwa nevanhu kuti “vatsigire” kuti Tembere ichavakwazve munguva yeKutambudzika nderekuti:
II VATESARONIKA 2:3 Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
4 Iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari.
Iyi iTembere muMereniyamu here? Kwete. Ivatican.
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI VANOMWE
... pope muVatican ... anozvipikisa pamusoro pechese chinonzi Mwari, vanhu vese vainamata. Ndiye mutsvene wavo vese. Akagara mutembere yaMwari achizviratidzira kuti ndiMwari, achiregerera zvivi panyika nezvimwe zvakadaro, munozviziva. Chokwadi.
61-0730 CHINANGWA CHEMABASA MATANHATU CHEKUSHANYA KWAGABRIERE KUNA DANIERI
Asi muchinda achasimuka, achakonzeresa nyangadzi yekuparadza, yaive Roma kupfurikidza Tito; nenguva achava muchinda achauya kupfurikidza Roma ndiye achazviita. Achaziviswa mumazuva ekupedzisira achizviita Mwari, seMweya Mutsvene zvawakatiyambira kuna II vaTesaronika Chitsauko chechipiri vhesi 12
… Chero iye, anekuuya kwake kunouya mumashure memabasa aSatani nemasimba ese nezviratidzo zvese nekuratidzira zviratidzo, ... (“Tiri kereke huru kwazvo.” “Tiri mugwara; tiri mugwara. Mese batanai pamwechete.” mazviona? Tiri kereke huru.”) zviratidzo zvichivonekwa,
VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Asi avo vakasanganiswa, mubatanidzwa iwoyo uchidzika uchiteremuka, chero iro simba remaprofita richitadza kuzvigura. Pakupedzisira vanoti, “Tichaita mubatanidzwa weboka rimwechete,” achibva aunza (chiii ichocho?) nyangadzi, chiRoma, kuti chiparadzire chinhu chinounza kuparadzwa. Nyangadzi inounza kuparadzwa inotora zvese, kuipa kwese.
Kutaurwa kwezvaantikristu kwekutanga chaiko achisanganiswa pakuvakwazve kweTembere kunobva kumuprista weRoma.
Martin Luther akataura nezvaPope saAtikristu makore akapoteredza 1520.
Francisco Ribera, muJesuit weRoman Catholic, mugore 1590 akashambadza bhuku raitaura kuti antikristu achavakazve tembere muJerusarema. Izvi zvakaitwa kupikisa maonero evapikisi ekuti Pope ndiye aive Antikristu.
Saka Ribera akatanga pfungwa yekuvakwazve kweTembere munguva yeKutambudzika kukuru.
Kune vanhu vanosvika 1,4 bhiriyoni vanotenda kuti Vatican itembere yaMwari.
Pope wavo aive nechinzvimbo chekuti Vicarius Kristu chaishandiswa naPope makore akapoteredza 1200. Zvinoreva kuti panzvimbo “yaKristu”. Saka Pope anogara muVatican “saMwari”, nekuti anofunga kuti ari “panzvimbo yaKristu” (Mwari), anofungawo kuti anokwanisa kuregerera zvivi. Saka Pope akagara muVatican achiregerera zvivi zvinozadzisa Magwaro anotaura pamusoro pake.
Pope Urban II mugore 1095 akapa mukana wekuripira, kuregererwa kwezvivi, kune avo vaizvipira kuenda kumakurusedhi vachinouraya maMosiremu nekupamba Jerusarema. Zvakare, pfungwa yaPope yekuti anogona kuregerera zvivi.
Mari yairipirwa yakavaka kereke hurusa panyika, kereke yeSt Peters iri muVatican. Makore akapoteredza 1515 Tetzel, mutumwa waPope Leo, akatumwa kunotengesa muripo waikwanisa kuripira chero zvivi zvehama dzakafa movanunura kubva munzvimbo yavanomirira kutongwa vafi kana maripira mari yakakwana. Pugatori (izwi risiri mumagwaro) rakagadzirwa naPope.
Pope, achitora nzvimbo yaMwari, akatanga dzidziso itsva yekuti kana munhu akafa vanoenda kupugatori kuti vanotongerwa zvivi zvavo. Muripo wezvivi waikwanisa kuburitsisa munhu kubva mupugatori zvichibva pakutaura kwaPope. Mugore 1517 Martin Luther akaramba nekuti dai Pope aive nesimba rakakwana rekubvisa vanhu mupugatori, aibhadharirwei mari kuti azviite? Nei aisangosiya vanhu vese vachibudamo nekuda kwerudo rwechiKristu?
MaCatholic vakadzidziswawo kuti vanofanira kuzviwisira kuna Pope kuti vaponeswe.
Pamusoro pazvose, muripo wakazara unobvisa kurangwa kwese kwenguva duku kwakaringana nezvivi zvakaparwa kusvika musi wawaripira.
Muripo wazvose (muripo wakazara) unobva pakuti, pakutaura uchidzokorora rozari mukereke kana kuti muboka remhuri. Chikamu cherozari unenge uchinamata kuna Mai Maria. MaPope akagadzira dzidziso yerozari nemunamato waAmai Maria usimo muBhaibheri.
Uyu munamato kumuyananisiri Mhandara yakaropafadzwa Maria. (Kuita kunge vanhu vanokwanisa kunamata kuna Maria. Uku kupira, kukurukura nevakafa).
Munamato waMai Maria unoti “Mai Maria Musande Mai vaMwari, namatiraiwo isu vatadzi zvino nepanguva yekufa kwedu”. (Izvi zvinoita kuti Maria amire semuyananisiri pakati penyu naMwari. Jesu ndiye ega Muyananisiri. Mwari ndiMweya uye haana kubvira aberekwa ari Mwari panyama. Saka Maria haasi mai vaMwari.)
Pope anokuudzai kuti munoregererwa sei zvivi zvenyu nekukupai rozari isimo muMagwaro neMunamato wamai Maria kuti mudzokorore, zvitsva saka kutotaura kuti anoita kuti zvivi zvenyu zviregererwe.
Mugore 1320 Pope Boniface VIII akaita murairo weruponeso unonzi Unam Sanctam unotaura kuti:
“Munofanira kuva vekereke yeCatholic kuti muponeswe uye munofanira kuona chinzvimbo chaPope semukuru weKereke. Vanhu vane basa rekuzviwisira kuna Pope kuitira kuti vave vekereke vagowana ruponeso.”
Saka ruponeso rwenyu rwunobva pakuterera Pope nekuti Pope akatora nzvimbo yaKristu yeMusoro wekereke panyika.
VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
Saka maCatholic vanofunga kuti vakatoponeswa uye kuti vanochegetedze ruponeso rwavo nekuramba vari nhengo dzekereke.
Vanopikisa vakatotangawo kutenda izvi. Vanotyira ruponeso rwavo kuti kana vakapokana nemufundisi kana kusiya kereke. Vemasangano anopikisa chiCatholic vakutora pasita kana mufundisi semukuru wekereke. Izvi hazvimo muMagwaro sezvo izwi rekuti “pasita” [mubhaibheri rakanzi mufudzi asi apa ticharitarisa richireva kuti pasita kana kuti mufundisi] rakataurwa kamwechete chete muTestamente Itsva, rikazvidzwa katanhatu muTestamente Yekare. Kwaane masangano anosvika 45,000 akasiyana siyana emakereke. Rimwe nerimwe rinoti ndiro rine chokwadi, zvisinei nekusiyana kwawo. Izvi zvinokonzeresa nyangadzi yakazara paEvangeri nekuti ruponeso kubva kugehena runobva pahukama hune munhu mumwe nemumwe naJesu uye hauna chekuita nechero mumwe munhuwo zvake kana kereke.
Asi tinofanirawo kuponeswa kubva kunguva yeKutambudzika. Izvi zvinobva pakutenda kwenyu kuShoko raMwari rakaziviswa.
Kana maKristu akaponeswa akaramba chokwadi vanozotwasudzwa munguva yeKutambudzika vozomutswa murumuko runouya pamagumo eMereniyamu. Kusaziva zvakavanzika zveBhaibheri, zvakaziviswa nemuprofita wenguva yekupedzisira, zvinongoreva kuti tichapesana nekukwira kudenga mukubwaira kweziso apo kereke ichatorwa kukwira kudenga kunosangana naShe kumakore.
Dante, muRoman Catholic akasimba, mudetembo rake “The Inferno”, akazvidza Pope Bonface VIII nekumuisa muboka revapari vemhoswa, pasi munzvimbo yegehena yepasi pasi.
Mugore 1305 Clement V akaitwa Pope akatanga Korona yeMitumbi mitatu kuratidza kuti aitonga Denga, Nyika nenzvimbo inonozororera mweya yevafi vakamirira kutongwa yavanodaidza kuti pugatori.
ZVAKAZARURWA 9:1 Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.
ISAYA 14:12 "Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase,
ZVAKAZARURWA 9:2 Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
3 Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
Johane Muzaruriri aishandisa simba rehwiza rekuparadza kutsanangura madhimoni akanga atora boka resangano reRoman Catholic riri pasi pemunhu anoritungamirira uye mudzvanyiriri waro, Pope. Mweya iyi yakabva yapamba vapikisi vesangano reCatholic vemamwe masangano nevasiri maCatholic kuti vagadzire tsika dzemakereke dzakaitwa nevanhu dziri pasi pehutongi hwevanhu vanotungamirira apo mapasita anotonga sevadzvanyiriri apo mumwe nemumwe wavo anoshandisa mafungiro ake pamusoro pesangano rake. Vanhu havachavaki kutenda kwavo vachishandisa zvakanyorwa muBhaibheri.
ZVAKAZARURWA 9:11 Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.
Mutumwa inhume. Nhume inobva kugomba rakadzika dzika kunzvimbo yekunyengera. Mambo . Mutongi wezvechitendero akapuhwa korona. Pope akapfeka korona kubva gore rinege AD 860 pakagadzwa Pope Nicholas I. Izvi zvakaitwa kuitira kuti agone kuzviti akaenzana nemamwe madzimambo akagadzwa.
Gore 1305 richangodarika korona yakavandudzwa kuita zvidanho zvitatu.
Tarirai tsananguro inotyisa inotevera pamusoro pamai vemakereke, kereke yeRoman Catholic inova bato resangano rakarongwa rachemberesa, nevanasikana varo vakabuda mariri.
ZVAKAZARURWA 17:1 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni, achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji;
ZVAKAZARURWA 17:5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechokwadi ndiyo mwenga waKristu. Kristu ndiye Murume wekereke (Chikomba).
Mhombwe mukadzi asina kuvimbika kumurume wake. Murume wekereke iShoko raMwari.
Makereke aya anoshingirira kuita dzidziso dzisimo muMagwaro netsika dzisimo muMagwaro.
Makereke anhasi, nekuti imhombwe dzemweya, anopomba nedzidziso dzakaitwa nevanhu apo vanoturikira Magwaro zvisizvo.
Mufananidzo wemakomo manomwe ekutanga eRoma. Chikomo chepamutsetse mukuru ndicho chaive muzinda wehushe hweRoma yechipegani.
Chikomo cheCaelia ndicho chaive neLateran basirika (kereke hurusa) nemuzinda unova muzinda wekereke yeRoma.
Kereke yeRoman Catholic inoti ndiyo mai vemasangano.
Izvi zvakanyorwa pakereke iri paLateran.
“Kereke inoyera paLateran. Mai nemusoro wemakereke ese emuguta uye panyika”.
Hurongwa hwekereke hwakasvibiswa nekusanganiswa nemadhimoni, zvinoita kuti vatevere zvitendero zvisimo muMagwaro, simba rezvematongerwo enyika nekurudziro dzazvo, nesimba munezvemari. Mweya mitatu iyi inobatana kuzivisa rufu kune vaya vese vasingagoni kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro zvakaziviswa nemutumwa wechinomwe kana nhume. Vanoenda kumakereke vaisarudza kuterera kuvatumwa kana nhume dzinobva kugomba rakadzika dzika uko kunoramba kuchibva kusvibiswa kweBhaibheri kusingagumi.
Madhimoni aitongwa namambo wezvechitendero akashongedzwa korona. Pope aipfeka korona yechidanho chimwechete kubva pamazuva aPope Nicholas I , gore rinenge AD 860, yakazoita korona yezvidanho zvitatu panguva yaPope Clement V vakasarudzwa gore 1305. Saka Pope ndiye akanga ari mambo akapuhwa korona yezvidanho zvitatu kusvika nguva yaPope Poul VI akagadzwa mugore 1963 akangomira zvisinganzwisisiki kushandisa korona iyi. 1963 ndiro gore rakaziviswa Zvisimbiso zvitanhatu zveZvisimbiso zvinomwe naWilliam Branham, zvakaburitsa pachena mutasvi wemweya waantikristu mukati menguva nomwe dzemakereke. Kufumurwa uku kwakaita kuti Pope atye kupfeka korona yemitumbi mitatu. Asi Pope akanga achipfeka korona kwemakore anodarika 1100.
DANIERI 12:11 "Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechifananidzo chinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
Jesu akafa mugore AD 33. Mwari akabvarura chidzitiro chetembere pakafa Jesu. Panguva iyoyo Murairo nechibairo chawo zvakagumiswa. Zvipiriso zvese zvemaJuda zvaive zvisisina chirevo zvichienzaniswa nechipiriso chaJesu. Tembere yakabva yaparadzwa neRoma.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
[MuBhaibheri rechirungu mamashadiswa izwi rekuti score rinoreva kuti 20 makumi maviri]. Mazuva 1260 anodaidzwa kuti mwedzi 42 ( mwedzi makumi mana nemiviri). Saka mwedzi mumwe nemumwe wechiJuda kana wemuBhaibheri une mazuva makumi matatu (30).
Gore rechiJuda kana remuBhaibheri raive 12 x 30 = mazuva 360.
Gore redu maHedeni rine mazuva 365,24.
Saka makore emaJuda 70 ega ega anenge ainemakore 69 gore rimwechete risipo kana totarisa makore evaHedeni.
Gore redu rakarebesa nemazuva 5.24. Saka makore 69 anoburitsa 69 x 5,24 = mazuva 361 anoraudzira zvinoreva kuti nderimwe gore rimwechete remuBhaiberi.
Makore echiJuda 1290 anoburitsa 1290/70 = 18 makore anenge ari mashoma neiwaya kuvaHedeni.
1290 – 18 = 1272 makore evaHedeni.
Saka makore evaHedeni 1272 mumashure merufu rwaJesu, rwakaitika mugore AD 33 rwukagumisa zvipo nezvibairo zveTestamente Yekare, Pope weRoma akagadzwa samambo akashongedzwa korona yemitumbi mitatu wegomba rakadzika dzika. Pope anozviti ndiShe weDenga, Nyika nenzvimbo inoenda mweya yevafi vakamirira kutongwa yavanodaidza kuti pugatori. Simba iri rinomugonesa kusunungura mweya wehunyengeri muchitendero mukereke yeCatholic. Mweya iyi yaizosvibisa makereke emasangano aizouya nekufamba kwenguva paaizovhurwa achirongwa semasangano (izwi risimo muMagwaro). Roma ndiro rakava sangano rekutanga saka raive mai vemakereke ese aizovambwa.
1272 + 33 = 1305
Saka negore 1305 Pope Clement V, vakagadzwa vachizopfeka korona votonga pugatori nemadhimoni ayo. Zvichibva muhutungamiri hweCatholic, vanhu vanofanira kuterera Pope kana vachida kuponeswa.
Pope anogonawo kutanga dzidziso otoita kuti makereke atende kutsika dzakaitwa nevanhu idzi sekuti dzinobva muMagwaro. Tarisai mazano anotevera asimo muMagwaro anotendwa maari nemaCatholic akazotendwawo maari nevemasangano vanoipikisa. Kisimusi. 25 Zvita. Muti weKisimusi. Kurangarira kuzvarwa kwaKristu.
Vazivi vachinzi vakaenda kuchidyiro pakazvarwa Jesu. (Ivo vakapinda mumba vakaona mwana.)
MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.
Chishanu chakanaka (Good Friday). Kana Jesu akafa musi wechishanu masikati akamuka musi weSvondo mangwanani zvinoreva kuti akaita husiku huvuri mubwiro, kwete hutatu.
Tsika dzemakereke dzese idzi hadzimo muMagwaro. Vemasangano vakatevedzerawo zvinoitwa neRoman Catholic izvi vakazvitora sekuti iShoko raMwari. Saka shoko raPope rinoonekwa seriri pamusoro peShoko raMwari.
Zvakafanana here nezwi risimo muMagwaro rekuti Tiriniti. Tarisai kutaura kwese kusimo muMagwaro kunotsanangura Tiriniti. Mwari Mwanakomana. Mwari Mweya Mutsvene. Vanhu vatatu muhuMwari. Vatatu-mumwe. Veesenzi rimwe. Munhu wekutanga muhuMwari. Munhu weChipiri muhuMwari. Munhu weChitatu muhuMwari. Baba neMwanakomana vakaenzana. Kwese uku kutaura kusimo muMagwaro. Asi maPope akasiyana siyana vanotaura kuti iShoko raMwari. Vemasangano anopikisa vanotevera maCatholic. Zvimwechete neisita egi, isita rabhiti, Renti, achibhishopu nezvimwe zvakadaro.
Zvitendero zvakaziviswa naPope zvisimo muBhaibheri zvakuonekwa seShoko raMwari. Saka Pope agere muVatican achizviratidzira kuva Mwari sezvo nhasi uno makereke anotenda dzidziso dzisimo muMagwaro pachinzvimbo chekutevera Magwaro zvakazara.
Iri ndiro Rugwaro rukuru runonzi nevanoenda kumakereke humbowo hwenguva yeKutambudzika yemakore manomwe.
DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."
Anonzi ndiantikristu. Vanoti achaita simba kwemakore manomwe.
“kusimbisa sungano”.
Izvi zvinoshandurwa kana kurerutswa nevanoenda kumakereke vozviti “kuita sungano chete”.
Asi sungano inofanira kuitwa isati yasimbiswa.
Asi hakuna Magwaro apo antikristu anoita sungano nemaJuda asati aisimbisa kwemakore manomwe.
Saka vamwe vanoti antikristu achasimbisa sungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama.
Asi hamugoni kusimbisa sungano yakaitwa neumwe munhu. Munokwanisa chete kusimbisa sungano yamakaita imi.
Asi sungano yakasimbiswa haigoni kuputswa.
Antikristu haagoni kuputsa sungano yaanenge asimbisa.
Tichiwedzera, Mwari akasimbisa sungano yaakaita naAbrahama muna Kristu, pakafa Kristu.
VAGARATIA 3:17 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu,
Kristu paakafa, Mwari akabvarura chidzitiro cheTembere zvichibva zvagumisa zvipo nezvibairo zvemuTembere.
Ngatitarisei kumana Abrahama nesungano yake tione kuti Mwari akaizadzisa sei makore 2300 echiJuda mumashure mekuberekwa kwemwanakomana waAbrahama Isaka.
DANIERI 8:14 Akati kwandiri, `Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.'
61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 2
... Kubva pakutanga kwezuva rekutanga rekunatswa kwenzvimbo itsva, kana kuti pakaenda Kristu kuCalvari,
54-0321 MUNOFUNGEI PAMUSORO PAKRUSTU
Jesu Kristu akauraiwa paCalvari kuchipiriso chemaperembudzi, kunatswa kwezvivi nehosha;
GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo JEHOVA akaita sungano naAbramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
Sungano yaMwari naAbrahama yaive pamusoro pechaizopihwa vana vake naMwari. Mwanakomana waAbrahama wekubereka aizotora Nyika yechipikirwa Israeri.
Sungano iyi yakatanga nekuzvarwa kwaIsaka, mwanakomana waaive avimbiswa naMwari.
Isaka, mwanakomana waakabereka, akataura pamusoro pechivimbiso chikuru chaive Mwana waAbrahama wemweya, Kristu.
GENESISI 15:9 Akati kwaari, "Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva."
Zvinhu zvitatu nguva dzese.
Chokwadi cheTestamente Itsva chakaraswa muNguva yeRima (AD 606 – 1520) Mwari achibva ashandisa nguva nhatu dzemakereke kudzosera Chokwadi chekutanga cheBhaibheri.
Nguva yechishanu yeSardis (vakapunyuka) apo Martin Luther muGermany akadzosera kuponeswa nekutenda.
Nguva yechitanhatu yeFiradefia (rudo pakati pehama munaShe) apo John Wesly kuEngland akadzorera hutsvene nekuparidzira kuti vateye nheyo dzenguva yemamishinari.
Nguva yechinomwe yeRaodikia apo simba rePentekositi rakadzorerwa mumugwagwa weAzusa muLos Angelos William Branham pakati pegore 1947 negore 1965, akashandisa kaseti rekodha kuzivisa zvakavanzika zveShoko rakanyorwa zvikatitora kutidzorera kunotenda zvakatendwa mazviri nekereke yekutanga.
Kubva gore 1966 tairarama “mumazuva ENZWI remutumwa wechinomwe” apo zvakavanzika zvaMwari ndiko kudzokera kwekereke yekupedzisira kunotenda nekunzwisisa zvakatendwa nekereke yeKutanga. Zvakavanzika izvi ZVINOFANIRA kupedziswa kana vanhu vadzidza kuvaka zvitendero zvavo paMagwaro sezvakaitwa nekereke yekutanga. Asi kukosha kuri pakuturikira zvakataurwa kuzviita dzidziso dzisiri muMagwaro. Saka vanhu vashoma vanoziva kuti Bhaibheri rinorevei munzvimbo zhinji. Parizvino Mwari akamirira kuti titsigire zvatinotenda mazviri neBhaibheri reKing James Vhezheni.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
Sungano yaAbrahama nemhuka yakazadziswa pachipo nechibairo chaKristu chakazadzisa sungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama.
Tsiru nembudzi zvinomiririra kereke (Mwenga waKristu) angadai akafira zvivi zvake asi takaregererwa nerufu rwaKristu pachinzvimbo chedu.
NUMERI 19:2 "Ndiwo murayiro wakarairwa naJEHOVA, achiti: Taura navana vaIsiraeri vauye kwauri netsiru dzvuku risina mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.
NUMERI 19:3 Zvino munofanira kuripa Ereazari muprista, iye aribudise kunze kwemisasa, rigourawa pamberi pake.
Vanhu vaiuraya tsiru pamberi pemuprista mukuru.
Pontius Pirato akapa Kristu murango werufu pamberi pemuPrista mukuru Kefasi.
NUMERI 19:4 Ipapo Ereazari mupirisiti anofanira kutora ropa raro nomunwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kurutivi rwemberi rwetende rokusangana;
Ropa raJesu raikwanisa kuponesa kereke mukati menguva nomwe dzakasiyana dzemakereke, dzakapararira mumakore 2 000 enhorondo yekereke.
NUMERI 19:5 Zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; dehwe raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazvizvi aro, zvinofanira kupiswa.
NUMERI 19:9 Zvino mumwe munhu akanaka anofanira kuunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe ungano yavana vaIsiraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
Madota anotaura nezvemoto semuyeuchidzo wenguva yakaitwa naKristu ari mumoto wegehena paakakurira Satani nemadhimoni ake. Chipiriso chake chinogona kutinatsa chotibvisa kuzvivi.
NUMERI 19:12 Iye anofanira kuzvinatsa nayo nezuva retatu, agova akanaka nezuva rechinomwe; asi kana asingazvinatsi nezuva retatu, haangavi akanaka nezuva rechinomwe.
Zuva retatu rinomiririra nguva yekereke yechitatu (AD 312 kusvika AD 606) apo zvivi nekusatenda zvakatora kereke.
Dzidziso yeTiriniti isimo muMagwaro yakapinda mukereke pakanzuru yeNicaea mugore AD 325. Rubapatidzo rwemvura muzvinzvimbo zvitatu pachinzvimbo chezita raJesu Kristu rwakava ndirwo rwepamurairo. Hakuna zita rimwechete rekudaidza Mwari weTiriniti. Saka Mwari akarasikirwa nezita rake. Kereke yakapinda munezvematongerwo enyika uye zvehupfumi. Kereke yakawanana nechipegani nezvenyika neKisimusi yeCatholic isimo muMagwaro (Kirisi masi ) pazuva risimo muMagwaro 25 Zvita (zuva rakaberekwa mwari wezuva) nemuti weKisimusi usimo muMagwaro (watakayambirwa neJeremia Muchitsauko 10) nemaIsita egi nemaIsita bani. Kana izvi zviri zvimwe zvakashaishwa saka zvakaipa hazvigoni kubviswa mukereke, saka pakupedzisira pachapera nguva nomwe dzemakereke manomwe, vanoenda kumakereke vanenge vasina kunatswa kubva kukusatenda kwavovopesana nekukwira Kudenga mukubwaira kweziso. Kutenda mukukanganisa uku kuchangovatadzisa kutevera Magwaro zvakazara.
Mbudzi yakashandiswa kutakura zvivi kuenda nazvo kunozvirasirira kure.
REVITIKO 16:8 Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri.
9 Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi.
10 Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJEHOVA kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
Paidiwa mbudzi mbiri. Mbudzi imwechete yaiuraiwa kuripira zvivi neimwe mbudzi yekurasirira yaitakura zvivi zvaIsraeri kuenda nazvo kure. Mbudzi imwechete musungano yaAbrahama yaireva kuti Kristu akaita mabasa maviri aya ari ega. MaJuda aifanira kusarudza (kana kukanda mijenya)pakati paJesu naBaraba. Jesu akaurayirwa zvivi zvedu paCalvari. Akabva atakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure pasi kugehena kunozvirasira pana Satani nekunokurira Zvivi,Gehena, Satani, neRufu.
Gondobwe rehwai rakatora nzvimbo yaIsaka sechibairo. Gondobwe rehwai mucherechedzo weKuuya kwaJesu kuzotora nzvimbo yedu achifira zvivi zvedu.
Njiva nehangaiwa zvisina kutsemurwa zvaimiririra ruponeso nekurapwa (kuponeswa zvakare) zvisingagoni kupatsanurwa kubva pakufa kwaKristu. Kana akafa kuti tiponeswe akafirawo kutirapa.
GENESISI 15:10 Akandomutorera (Abramu) izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.
Mhuka imwe neimwe yakachekwa nepakati. Mahafu maviri akaiswa pasi akatarisana.
Izvi zvinomiririra zvikamu zviviri zveBhaibheri. Testamente Yekare neTestamente Itsva. Akatarisana akatsigirwa nemaBhuku mana eEvangeri anotsanangura hushumiri hwaJesu Kristu. MaBhuku mana eEvangeri anobatanidza Testamente Yekare neTestamente Itsva pamwechete.
GENESISI 15:11 Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Aburamu wakaadzinga.
Chokwadi chaicho cheMagwaro chakaziviswa chakavinga makondo enguva yekupedzisira. Mharidzo yemuprofita inozivisa zvakavanzika zveBhaibheri inodzingira kure makunguwo emasangano agere sevatungamiri pamapazi epamusoro soro emakereke akarongwa nevanhu.
MATEO 13:31 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti, Vushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemastarda yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.
32 Iyo iduku kumbeu dzose asi kana yakura ihuru pamirivo yose. Inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.
Mufananidzo wechitatu kuna Mateo Chitsauko 13 unomiririra nguva yekereke yechitatu.
Hupfumi nezvematongerwo enyika zvakaona kereke yeRoman Catholic ichikura kuita bato guru rezvechitendero. Vanhu vane shungu kwazvo vakasimudzirwa kunogara zvinzvimbo zvepamusoro soro zvisimo muMagwaro zvakaita sechaPope, Kadhinari, Metroporiteni, Achibhishopu nezvimwe zvakadaro. Shiri dziri mudenga denga kumapazi epamusoro ndidzo dzaive shiri dzimwechete dzepamufananidzo wekutanga, kana nguva yekereke yekutanga, dzakadya mbeudze Shoko raMwari kuti Shoko risakure mumoyo yevanhu. Vatungamiri vemakereke vanotya chokwadi chinoziviswa. Vanoita kuti vanhu vagare mukusaziva zvakawanda zviri muBhaibheri. Magwaro anofumura zvinhu zvizhinji zvinotendwa mumakereke zvisimo muMagwaro.
MATEO 13:4 Zvino pakukusha kwake, dzimwe mbeu dzakawira panzira. Shiri dzikasvika dzikadzidya.
Saka vanhu, mumashure mekuponeswa kubva pakutenda muna Jesu, vanozvipereka kumakereke votenda kutsika dzekereke iyoyo chete. Vanoterera zvese zvinodiwa nevakuru vekereke iyoyo, pachinzvimbo chekuteerera Bhaibheri.
Zvinosuwisa, kune masangano emakereke anodarika 45 000 akasiyana siyana. Saka zvakawanda zvakashata zvakapinda mumakereke. Vatungamiri vemakereke vari kurasisa vazhinji.
GENESISI 15:12 Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.
Zuva rovira. Zuva raive rodoka. Evangeri renguva yemadekwana pakupedzisira kwenguva yekereke yechinomwe. Hope dzakadzama mucherechedzo werufu nekutyisa kwerima riri mugomba regehena.
Jesu mumufananidzo wevasikana gumi, akayambira kuti vose vaive vakarara. Musikana aitaurwa apa imhandara mukadzi akachena asina kuziva murume, mucherechedzo wekereke yakaponeswa. Saka pakuguma kwemakereke, mapenzi kana vakachenjera, vakazadzwa neMweya kana vasina, vese vakavata. Zuva reEvangeri riri kunyura apo vanoenda kumakereke vanoponeswa asi vachitenda zvinhu zvizhinji zvisiri muMagwaro. Chiedza chinodzima.
MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.
GENESISI 15:17 Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.
Kupfungaira. Panopfungaira pane moto. Choto chemoto wegehena. Tese tiri vatadzi vachafa kuti tiende kuGehena.
Asi tine tariro. Mwenje wakatungidzwa wakafamba pakati pemaTestamente maviri.
Jesu, sembudzi yekurasirira, akatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kugehena akanozvirasira pana Satani.
Izvi zvakatiwanira hupenyu husingaperi kuti tirarame nekusingagumi muNyika yeChipikirwa yechokwadi.
Chivimbiso chaMwari mweya Mutsvene wake. Nyika yaMwari yechipikirwa ndiro Shoko raMwari.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
Sungano yaMwari yaive yemuJuda umwe neumwe, Israeri yenyama, kuti ararame makore anokwana 70 muNyika yeChipikirwa yeIsraeri.
Mwari vakasimbisa sungano iyi muna Kristu pachibayiro chake apo munhu mumwe nemumwe akazvarwa patsva, Israeri yeMweya, anokwanisa kutungamirirwa kupinda muchokwadi cheMagwaro neMweya Mutsvene vogadzirira Kuuya kwaShe Jesu kuti vagotorwa kukwira Kudenga mumuviri wokubwinya.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.
Bhaibheri reKing James vhezheni ndiro chokwadi chaMwari.
Sungano huru kwazvo iyi yakaitwa naAbrahama makore anodarika 1 000 Tembere isati yavakwa.
Sungano yakaitwa mazana emakore Mosesi asati apihwa Murayiro.
Saka sungano pakati paMwari naAbrahama yaive isina chekuita neMurayiro neTembere.
Sungano yakazosimbiswa paCalvari Mwari paakabvarura chidzitiro cheTembere akagumisa Murayiro. Calvari yaive kunze kweTembere. Chiprista chemuTembere chakaramba Jesu.
Kristu akabva adzika semwenje unopfuta akanoita husiku hutatu ari pasi penyika kwaakanokurira Satani, Zvivi neGehena. Akabva amuka murumuko kunokurira Rufu neGuva. Saka Jesu aifanira kufa musi weChina masikati kana aizoita husiku hutatu ari muguva omuka musi weSvondo mangwanani.
MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
Makereke ane mazuva asiwo nekuti vakatevedzera kereke yeRoman Catholic ne “Chishanu chakanaka” chainoita zvisina kunyorwa muMagwaro.
Chishanu izita rakadanwa nekuda kwaFreya, mwari wechikadzi werudo. Kereke yeRoma inoonekwa semukadzi akatasva chikara kuna Zvakazarurwa Chitsauko 17, saka zvaivafanira kuti vasarudze zuva rakaitirwa munhukadzi pakufa kwaKristu.
Chishanu izuva rechitanhatu pavhiki. Tanhatu chiverengo chemunhu. Munhu anotadza muhupenyu hwake saka haagoni kusvika pakuzadziswa chinova chiverengo chechinomwe. Chishanu izuva rechishanu pavhiki uye 5 chiverengo chenyasha. Mwari akatora Johane kuenda naye kudenga kuna zvakazarurwa Chitsauko 4, chiratidzo chaakatanga kuona chaive Chigaro chaMwari chehushe chakapoteredzwa nezvisikwa zvipenyu zvina. Vashanu ava, nenyasha dzavaisafanira, vakatungamirira kereke mukati memakore 2000 enhorondo yayo.
Saka Sungano yakaitwa kare Murayiro neTembere zvisati zvavapo.
Saka sungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama yaive isina chekuita neTembere.
Tembere imwechete iri pakati pekupona kwedu naMwari yaive Tembere yeMuviri waKristu watinoona nekubata.
JOHANE 2:19 Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu.
20 Zvino vaJuda vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?
21 Asi iye wakanga achireva Tembere yomuviri wake.
Tembere yemaJuda yaive danho repamusoro soro reMurayiro sezvo yaive yakamirira kuuya kwaMessiasi. Asi kwaive kusina chinhu muTembere chaikwanisa kubereka ruponeso vaprista veTembere pavakaramba Kristu.
Mwari akabva aramba Tembere kupfurikidza kubvarura chidzitiro.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Chitendero chemaJuda panguva iyoyo chakashaiwa maturo sechinhu chingaite kuti vanhu vazvarwe patswa.
Ipapo Messiasi akarambwa akakunda kuwana ruponeso rwedu kugehena kupfurikidza kukurira masimba emadhimoni.
Tembere haina basa rayakaita pakutiwanira ruponeso.
Jesu ega ndiye akatiwanira ruponeso apo chiprista chemuTembere chakamuramba.
Saka Tembere yakaparadzwa mugore AD 70 sechivakwa chisina basa chakamiririra chitendero chakarambwa chaive chiJuda.
Mumashure megore AD 70 kereke yemaKristu yaive yawana ruponeso pasi rese pasina chikonzero chekuti isu titsvage Tembere yemaJuda.
Saka Tembere yemaJuda, chero ikavakwazve, inenge isina basa pakubatsira maJuda 144,000 kuti vatendeukire kuEvangeri reTestamente Itsva.
Dambudziko guru kwazvo.
Kana Tembere ichizovakwazve ipapo nzvimbo tsvene inofanira kuva payaive chaipo pakutanga pakaiswa nzvimbo tsvene yekutanga. Dambudziko nhasi nderekuti hakuna ane chokwadi chekuti nzvimbo iyi iri papi chaipo.
Babironi yakapisa Tembere mugore 586 BC.
MaJuda paakateya nheyo dzeTembere itsva, muna 536 BC, aive makore makumi mashanu akazotevera. Saka paive nemaJuda akawanda airarama vaikwanisa kurangarira kuti chaipo paive nenzvimbo tsvene ndepapi. Saka vaikwanisa kuvaka Nzvimbo Tsvene Itsva panzvimbo payaive pekutanga chaipo. Vaivewo nemaprofita Haggai naZakaria kuti vavabatsire.
Asi nhasi, hakuna anoziva kti nzvimbo iyoyo chaiyo iri papi.
Mumashure mekuparadzwa kweTembere muna AD 70, maRoma vakatakura chigadziko chemwenje minomwe kuenda nacho kuRoma.
Chivezwa ichi chinowanikwa paaraki yaTito muRoma.
Mugore 445 AD maVandari vakaita mazuva gumi nemana vachipaza nekuba muRoma pavakabuda vakatakura chigadziko chemwenje minomwe. Ndipo panoita sepakagumira nhorondo yechigadziko chemwenje minomwe.
Zvikoshwa zvemuTembere zvakatorwa zvikanodzoserwa kuJerusarema kubva Babironi naEzra mugore 459 BC mumashure mekunge vavakazve Tembere pakati pegore 536 BC negore 515 BC. Vavengi vakavamisa kuvaka kwemakore 17. Saka kuvaka tembere kwakatora makore mana.
Asi nhasi hakuna chikoshwa chemuTembere chepakutanga chichiri kuzivikanwa kwachiri.
Iri idambudziko guru. Kana Tembere ikavakwa zve ichange iri panzvimbo isiriyo uye panenge pasina midziyo yeTembere. Izvi zvinenge zvakanaka here? Hakuna anoziva zvechokwadi kana Mwari achagamuchira izvi.
MaJuda vanogona kusarudza kuvakazve Tembere asi inenge ine chirevo cheMweya here?
Chiprofita chaDanieri chikuru pamusoro peTembere.
DANIERI 9:24 Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene.
70 x 7 = 490, Mazuva asara.
Asi zuva rinogona kumiririra gore muchiprofita.
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."
Makore 490 emuBhaibheri = 490/70 = makore 7 evaHedeni.
Makore 70 ega ega ane rimwe gore remuBhaibheri rinoraudzira rine mazuva 360 kana tichienzanisa negore redu remaHedeni rine mazuva 365,24.
Saka mumakore edu chiprofita ichi chinenge chiri 490 – 7 = makore 483 (emazuva 365,24)
Saka maJuda ane makore 490 emuBhaibheri emakore edu esu vaHedeni asara, kubva mugore 446 BC.
Zuva rekutanga raive gore rechimakumi maviri ramambo Artashasta akapa Nehemia mvumo yekuvakazve masvingo eJerusarema nemasuwo aro, apo migwagwa inosangana nemasvingo.
NEHEMIA 2:1 Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
Artashasta akaitwa mambo mugore 465 BC. Saka gore 465 BC ndiro gore rekutanga rekutonga kwake.
Saka gore rechimakumi maviri rinenge riri 446 BC.
DANIERI 9:25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
Mavhiki 7 + mavhiki 62 = mavhiki 62
Messiasi zvinoreva kuti Wakazodzwa.
Jesu akazodzwa neMweya Mutsvene wakaburukira paari (hauna kupinda maari) paakabapatidzwa nemvura paaive nemakore 29, akuda kunosvitsa makore 30.
RUKA 3:21 Vanhu vose vakati vabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.
22 Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.
23 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu,
446 BC + 30 AD = makore evaHedeni 476
Asi maJuda anozoita mamwe makore manomwe anoraudzira nekuti avo makore mapfupi.
Saka 476 + 7 = makore emuBhaibheri kana kuti emaJuda 483.
69 + 7 = mazuva 483 kana kuti makore emuBhaibheri. Saka zviverengo zvinotenderama.
DANIERI 9:26 Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatemwa, kusvikira pakuguma.'
Mumashure memavhiki 7 nemavhiki 62 anoburitsa mavhiki 69 tinosvika mugore AD 30 pakarenda redu remaHedeni reRoma. Jesu akabapatidzwa achizourayiwa makore matatu nehafu aizotevera.
Haana kuzvifira, akafa kuti isu tiponeswe.
Mubati weRoma Tito aive muchinda nekuti baba vake Vespasian vaive vachangogadzwa kuita mubati muna AD 69. Saka mugore AD 70 Tito akaparadza Tembere zvakazara akaputsanya masvingo aro ese, Jesu aive aprofita kare kuna Mateo Chitsauko 24.
MATEO 24:1 Zvino Jesu wakabuda patembere, akati oenda vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
2 Jesu akapindura akati kwavari, munovona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.
Tito akaparadzawo guta reJerusarema.
Saka maRoma ndivo vanhu vemuchinda waAntikristu achauya munguva yeKutambudzika. Kereke yeRoman Catholic yakasimuka pamatongo ehushe hweRoma yechipegani. Saka muchinda achauya pakupedzisira achange ari Pope wekupedzisira. Achagona kuzvidaidza kuti Pope Petro II.
Roma yechipegani pasi paTito yakaparadza guta reJerusarema ikasiya yanyangadza. Vakatema miti yese makiromita anoda kusvika 16 (mamaira gumi) kupoteredza guta kuti vawedzere kunyangadza nzvimbo iyi.
Ipapo kereke yeRoma yakanyangadza chiKristu nekuita kuti Pope ave “Vicarius Kristu”, zvinoreva kuti “panzvimbo yaKristu”. Vakaisa munhu pakutungamirira kereke vakati Pope aikwanisa kuregerera zvivi nekuita dzidziso dzinoteverwa mukereke dzinotsiva Bhaibheri. Dzimwe dzidziso dzakaitwa nevanhu idzi netsika dzavo dzakabva dzapararira kunevemasangano kunokonzeresa nyangadzi yemweya kuti ipararire pasi rese.
DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."
Mwari akasimbisa sungano yake naAbrahama pakafa Kristu kuti atiponese kubva kuzvivi zvedu. Pamakore 490 emuBhaibheri akavimbiswa maJuda, kwaive kwasara makore manomwe pakabapatidzwa Jesu. Saka Jesu akatanga hushumiri hwake seMwana waAbrahama weMweya wekutenda kwake pakupera kwegore AD 29 paaive akuda kusvitsa makore makumi matatu. Mwari aizoshandisa hupenyu hwaJesu kuzadzisa (muzvikamu zvakadzama zvemweya) vimbiso yesungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama pamusoro pemwanakomana wake wekubereka Isaka. Isaka aizodya nhaka yeNyika yeChipikirwa. Jesu aizogara nhaka yepasi rese sechikamu cheHushe hweDenga.
Sungano yakasimbiswa haigoni kuputswa. Saka Mwari kana Satani kana antikristu hakuna aigona kuputsa sungano iyoyo.
Diaborosi haagoni kusimbisa Sungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama nekuti sungano iyoyo kuna Genesisi Chitsauko 15 inoratidza kuti Mwari sechiedza chinofamba achakurira Diaborosi muchoto chake chinopfungaira cheGehena chinokonzeresa kuipa kwerima kuvanhu vasina kuponeswa vakafa. Husiku hutatu hwakaitwa naJesu ari pasi penyika ndipo pakasimbiswa sungano Jesu achikurira Satani Rufu negehena.
Jesu paakafa mumashure memakore matatu nehafu, pakati pevhiki rekupedzisira kana makore manomwe, rufu rwake harwuna kuputsa sungano yaAbrahama asi rwakasimbisa sungano yake nemaJuda yeruponeso.
Asi maJuda akaramba Jesu. Mweya Mutsvene wakabva waburuka pazuva rePentekositi Mwari achibva atanga kutendeukira kuvaHedeni kwemakore 2000 enhorondo yekereke. Kereke yeKupedzisira yeRaodikia (kuna Zvakazarurwa Chitsauko 3) yakaramba Shoko raMwari rakaziviswa nekuti vanosarudza tsika dzekereke. Jesu akamira akarambwa ari kunze kwemukova wekereke, nekuti ndiye Shoko. Jesu anotora kereke yake yechokwadi kuenda nayo Kudenga apo nyika inopinda munguva yeKutambudzika kukuru.
Saka kuti asaputse sungano yakasimbiswa, Mwari achatendeukira kumaJuda 144,000 mukati memakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru. Anokwereta maJuda chivimbiso ichocho.
Ndicho chikonzero nei maJuda ari kuungana zvakare muIsraeri.
Kuchaita nguva yeKutambudzika kukuru apo Mwari achadzoka kwavari, achishandisa maprofita maviri Mosesi naErija.
Bhaibheri harina kubvira rataura kuti kune nguva yeKutambudzika yemakore manomwe.
Asi kanokwana katanhatu Bhaibheri rakataura pamusoro pemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika.
57-1002 MIBVUNZO NEMHINDURO KUNA VAHEBERU. 2
Zvino, tarirai. Zvakataurwa naShe wedu Jesu kuna Mateo 24, kuti maJuda achabviswa pamufananidzo. Danieri akati, kumaprofita akare; akataura kuti kuchave nemavhiki makumi manomwe “akapihwa kumaJuda”. Messiasi achauya (Muchinda) achaprofita pakati pevhiki rechimakumi manomwe, makore manomwe, achagurirwa panzira. Tarirai kuti zvaive zvakanaka sei. Jesu akaparidza makore matatu nehafu akarovererwa pamuchinjikwa ... kuchiri nemakore matatu nehafu asarira ivo, maJuda. Zvichaita sekudaro.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Akaita sungano iyi nemaJuda, pakati pemakore matatu nehafu aya, akaputsa sungano yake paakangoita kuti zvinhu zvive kurutivi rwake akasunga mari yemaJuda.
Pope waantikristu achaita sungano nemaJuda mukati menguva yeKutambudzika kukuru asi achaiita nekuda kwemari yavo iri mumusika wepasi rese wemari. Paachangokwanisa kuisa ruoko rwake pamari yemusika wepasi rese ichabatanidzwa nehupfumi hwekereke yeRoman Catholic, zvichava chinamira chinokwezva mari yemamwe makereke ese asiri maCatholic. Achatonga pasi rese munezvemari munhu wese achatora chiratidzo chesangano rechitendero, rinotongwa neRoman Catholic, kuti vagone kurarama munezvemari.
Zvino pakati penguva yeKutambudzika, achaputsa sungano yake yezvemari nemaJuda.
NGUVA YEKEREKE YEFIRADEFIA – BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CPT. 8
Zvakadaro, vasanangurwa havasi kuzongobatwa chete, asi kuita uku pakuchave “CHIRATIDZO CHAKAMISIRWA CHIKARA,” vatsvene vachange vaenda mukubwaira kweziso. Kamubatanidzwa kwakatangira mukuwadzana, kamufaro muduku kwazvo kakatangira paEfeso kachave chikara, Satani anosvibisa nekunyengera pasi rese. Nekuti bato rekereke reRoman Catholic neveMasangano vachauya pamwechete vachibata pamwe pamusoro pepfuma yese yepasi rese vachimanikidza vanhu kupinda mumusungo wavo wechitendero, kana kuvauraya, kupfurikidza kuvarambira mukana wekutenga nekutengesa zvinogona kuvararamisa. Izvi zvichaitika zviri nyore kwazvo, kuvanasikana vemhombwe ndivo vese vachadzokera kwairi. Chinguvana, Roma yakazviunganidzira vanoita zvendarama vese. MaJuda vane mabhondi ese kana mapepa ese. Kana nguva yakafanira yasvika, mhombwe ichaparadza nzira dzemari dziriko nhasi nekutora mapepa ese, vachida ndarama. Nekushaya ndarama, zvinhu zvese zvinowira pasi. MaJuda vanobva vabatwa nemusungo vopinda mumubatanidzwa uyu, kereke mhombwe inobva yatora simba pamusoro pepasi rese.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Tarirai. Muhafu yekupedzisira yevhiki raDanieri, vanhu vanoita sungano nemuchinda, vanoita sungano neRoma. Vanoita sungano hazvina kuvanzika pamusoro pepfuma nekuti Catholic nemaJuda ndivo vakabata pfuma yepasi rese.
… Mumashure mekutorwa kwekereke, Roma nemaJuda vachaita sungano. Bhaibheri rinoti vachaita sungano iyi, nevanhu vatsene. Zvino tarirai, vachaiita, nekuti nei? Nyika ino ichaparadzwa, pasi rese riri panheyo dzendarama richaparadzwa. Munozviziva. Kana tiri kurarama nemari dzemutero, zvikwereti, kwemakore makumi mana kubva parinhasi, tichasvika papi? Kune chinhu chimwechete chete chinokwanisa kuitika. Kudaidza mari tobhadhara zvikwereti; asi hatigoni kuita saizvozvo. Zvese ndezveWall Street, Wall Street inobatwa nemaJuda; zvimwe zvese zviri muVatican, maJuda vane rimwe rese muWall Street nemari dzepasi rese. Hatigoni kuzvidaidza. Dai taikwanisa, munofunga here kuti vakomana ava vakadhakiwa kare nevanhu vese vefodya vane mabhiroyoni nemabhiriyoni emari gore rega rega vanonyorera muhoro wavo wese wemutero kumifananidzo yezvinyadzi yakare nezvimwe zvinhu zvakadaro – vanobuda muArizona vonotenga minda, vochera matsime makuru vachibhadhara zviuru makumi mashanu zvemadhora vobhadhara nemari dzemitero? Vokuisai mutorongo kana musingabhadhare mitero yenyu. Asi vanoigovera saizvozvo votumira mabhurudhoza kunochera madhamu nezvimwe zvakadaro.
Vanobva vaita sei? Vanoisa mapato ekuvakwa kwedzimba ipapo, mari yavanowana naizvozvo (vanenge vaita kuti mari yavo ibereke) vanoivakisa dzimba, mabhindauko ipapo vomatengesa mamiriyoni emadhora. Munofunga kuti vanhu ava vachashanduka here kuti vashandure mari?
Sezvakaita muchinda kuzasi kunoku (anonzani zviya?) sezvakaitwa naCastro. Akaita zvakachenjera kwazvo, paakaparadza mabhondi: akamabhadhara ndokumaparadza. Tarirai, asi isu hatigoni kuita saizvozvo. Machinda aya havatitendere.
Vanhu vakapfuma pasi pano ndivo vakabata zvese, saka kunosara chinhu chimwechete chekuita: kereke yeCatholic inokwanisa kuzvitenga. Ndiyo yega ine mari yacho; inogona kuzviita, uye ichazviita.
Pakuita izvi, ichazviyananisa nemaJuda yoita sungano, kana yaita sungano iyi nemaJuda ... Zvino, rangarirai, ndiri kutora izvi kubva muMagwaro. Zvino, paichaita izvi ikaita sungano iyoyo, tinoona kuna Danieri 8:23 ne 25 achaita kuti vanobata mabasa emaoko vabudirire (vemabasa emaoko ndivo vanogadzira zvinhu.) mumaoko avo.
Anoita sungano yake nemaJuda, pakati pemakore matatu nehafu, anoputsa sungano kana zvaanoda ava nazvo asunga mari yemaJuda kana aita izvozvo, Oh, maiwe, Oh, maiwe, Oh maiwe anenge akudaidzwa kuti antikristu kusvika pakupera kwenguva dzemakereke, nekuti iye nevana vake vanopikisa Kristu neShoko. Munhu uyu anodaidzwa kuti antikristu. Zvino achabata mari. Ipapo ndipo pandinofunga kuti achapindira. Chinguvana, ndichiri kutaura izvi, ndinoda kudzokera pazviri muchinguvana.
Anodaidzwa kuti antikristu achadaidzwazve kuti antikristu pamberi paMwari kusvika pakuguma kwenguva.
Zvino, paachange abata mari yese, achaparadza sungano iyi nemaJuda, Danieri pano akataura kuti achaita sekudaro, pakati pehafu yekupedzisira yemavhiki makumi manomwe aDanieri.
[anoputsa sungano yake nemaJuda pakati pemakore matatu nehafu ekupedzisira.]
Zvino, hama, anozoita sei? Achave nemabhizimisi ese epasi rese nemari dzacho, chisungo nepasi rese, ‘nekuti achabata pfuma yepasi rese zvakazara.
Munguva iyoyo, maprofita maviri vachasimuka vodaidza maJuda 144,000. Ipapo chii chichaitika? Ipapo chiratidzo chechikara chekuna Zvakazarurwa Chitsauko 13 chinobva chapindira, ‘nekuti akabata mabhizimisi ese, misika, nezvese zvepasi rino. Chiratidzo chechikara chinopindira zvekuti kunze kweuyo achange aine chiratidzo chechikara. Tinotenda Mwari, Kereke yake inenge yakufara kwemakore matatu nehafu mukubwinya. Haizosangani nazvo zvese izvi.
Gwaro rinofarirwa nevanhu ravanofunga kuti rinotaura nezvekuvakwazve kweTembere:
MATEO 24:15 Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarebwa nomuporofita Danieri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).
Iri ivhesi rakaoma kwazvo. Riri nyore kukanganisa kuziva zvarinoreva.
Nzvimbo Tsvene yaive muTembere muJerusarema.
Nyangadzi yekuparadza ndiantikristu nemweya wake weBabironi yechipegani yaitungamirirwa nemuprista wavo mukuru kana Pontiff. Mweya wechipegani wakaipa uyu wakatangwa naNimrodi. Hushe hwePersia hwakakura hwakagonesa Pontiff weBabirni kugara muPergamosi muAsia Minor zvikabatana nezvakavanzika zvechipegani zvekuEgipita. Zvakabva zvamedza tsika nefirosofi dzechiGiriki dzakachenjera.Ipapo nyangadzi yechitendero iyi yakapinda muRomaJurio Kesari akabva aitwa Pontiff. Mubati mumwe nemumwe wechipegani akabva ava Pontiff. Vespasian akaitwa mubati weRoma mugore 69 AD akaudza mwanakomana wake Tito kuti anorwisa Jerusarema. MaRoma akatanga kupoteredza guta muna AD 70. MaJuda nemaKristu vaifanira kubuda nekukasika nekuti mumazuva matatu maRoma akavaka masvingo kukomberedza Jerusarema. Chero munhu aiedza kubudamo mumashure meizvi aiuraiwa. Vanhu vaisvika 500 vaiurayiwa zuva rega rega.
MaRoma akabva atapa guta vakapinda muTembere (imire panzvimbo tsvene) yavakapisa vakaparadza kusvika kwakasara pasina ibwe pamusoro perimwe ibwe. Ndarama yaive muTembere yakanyunguduka ndarama ikaerera ichipinda mumikana yakatsemuka pakati pematombo. MaRoma akakanda ibwe nebwe pasi kuti vatore ndarama iyi. Saka ndarama zhinji yakabviswa muTembere zvekuti ndarama yakarasikirwa nehafu yehukoshi hwayo mumusika weSiria.
Saka Roma yechipegani yaive nyangadzi yakaparadza Tembere.
Kuparadzwa uku kwakatanga mugore AD 33 apo maJuda akamanikidza mutongi weRoma, Pontiusi Pirato, kuuraya Jesu. Izvi zvakagumisa Murayiro.
Muprista mukuru aive asingatenderwi kubvarura nguwo dzake.
REVITIKO 21:10 "Munhu, ari mupirisiti mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupirisiti mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.
Kefasi muprista mukuru akabva abvarura nguwo dzake paakatuka Jesu.
MATEO 26:65 Ipapo muPrista mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake.
Izvi zvakagumisa Murayiro.
Ipapo Pirato akabva apa mutongo wake waive usina kururama. Munhu asina mhosva akarohwa akauraiwa.
Kuyananisira kwakava nyangadzi.
Mwari akasimbisa kuguma kwemurayiro nekubvarura chidzitiro cheTembere pakafa Jesu mugore AD 33.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
Kubva ipapo zvipo nezvibairo zvese zvemuTembere zvaive zvisisina kukosha. Murairo waive warasikira nezvaunoreva. Messiasi akarambwa. Chiremera chega chaive neMurairo ndeapo Murairo wainongedza Kristu ukazadziswa muhushumiri hwake neHuvepo hwake muvatendi munguva dzemakereke manomwe, uyewo kumaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika.
Tembere, yaive yangove dende risina Mweya waMwari munzvimbo tsvene yakaparadzwa makore 37 akazotevera nemaRoma nevavakidzani vavo maArabu.
Negore AD 380 bhishopu weRoma Damasus akatora chinzvimbo chaPontiff. Saka zvakavanzika zveBabironi zvakapinda mukereke yeRoma zvakazoiita Babironi yakavanzika.
Marudzi evatorwa akaparadza hushe hweRoma muna AD 476. Ipapo kereke yeRoma yakasimuka zvishoma nezvishoma pamatongo eRoma yechipegani vakaroodza chiKristu kuchipegani, zvakaita kuti kereke inyangadzwe pachokwadi.
Mazano akaitwa nevanhu netsika dzavo akabva anosvibisa makereke evakabuda muRoman Catholic mai vemasangano mumashure meMutsiridzo yakatanga gore 1520.
MATEO 24:16 Zvino vari muJudea ngavatizire kumakomo
Izvi zvanga zvichitaura gore AD 70. Paigadzirira mauto eRoma kuparadza Jerusarema, maKristu nemaJuda vaifanira kutiza kubva muguta.
MATEO 24:17 Uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make.
Vaifanira kubuda nekukasika maRoma asati apoteredza guta.
MATEO 24:18 Nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.
Zvaive zvisina maturo kudzokera muguta kana waive watombobuda. Chavaigona kuita chete kutiza nehupenyu hwavo.
MATEO 24:19 Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo.
Vakadzi vakazvitakura kana vaive nevana vacheche vaifanira kutizira kumakomo. Izvi zvaizorema kwazvo.
MATEO 24:20 Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando kana nesabata.
Nguva yechando yaizotonhora zvakanyanya. Ndicho chikonzero nei Jesu asina kuzvarwa musi wa 25 Zvita. Kwaitonhora kwazvo kuti vafudzi vange vari musango nemakwai nguva dzehusiku. Kisimusi haina kubvira yapembererwa mukereke kusvikira gore rinenge AD 350 apo Bhishopu weRoma akatevedzera mutambo wekunamata mwari wezuva.
Mugovera ndiwo waive Sabata remaJuda. Vaive vasingatenderwe kufamba kuenda kure musi weSabata. MaRoma vaizovabata zviri nyore.
MaRoma akatema miti yese yaive makoromita gumi nematanhatu kubva muguta (mamaira gumi) reJerusarema. Izvi zvakasiya zvaparadza rutivi urwu rwenyika.
ChiRoman Catholic chaizofamba kubva muBhaibheri chonoita zvitendero zvachowo. Zvitendero zvetsika dzemasangano idzi zvaizosvibisa mamwe makereke emasangano izvi zvaizoita kuti makereke anyangadze Bhaibheri.
Vanhu vanotenda kuti Bhuku raZvakazarurwa rakanyorwa muna AD 100. Nekuti Tembere yakaparadzwa muna AD 70 vanoti pese panotaurwa nezveTembere panofanira kunge pachireva Tembere yenguva inouya ichavakwa zve munguva yeKutambudzika. Saka vanotenda kuti Zvakazarurwa Chitsauko 11 inotaura Tembere yenguva inouya.
ZVAKAZARURWA 11:1 Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; mutumwa akati: Simuka, uyere tembere yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.
2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
Asi Chikamu chaZvakazarurwa chakanyorwa mumazuva emubati Nero akafa muna AD 68. Johane aive musungwa akasungirwa zvematongerwo enyika kuchitsuwa chePatimosi apo Nero akatanga kurwadzisa maKristu muna AD 64 kuitira kuti avapomere pamusoro pemoto mukuru wakaparadza guta reRoma.
Jurio Kesari akaparadza Roma yaitongwa naSeneta akazviita mudzvanyiriri wehupenyu hwese asati aurayiwa muna 44 BC. Augustus, muzukuru wehanzvadzi yaKesari ndiye akaita mubati wekutanga mugore 27 BC. Augustus, semuzvidzi akapembedza Seneta asi nguva imwechete achibvisa simba kubva kwavari. Augustus akatora akarera Tiberio akamukudza kuti ave mubati anotevera. Tiberio akauraya nhengo dzeSeneta zhinji kwazvo. Caligula, mubati aipenga aifunga kuti aive Mwari, aive mwanakomana wemukoma waTiberio. Claudius aive bamunini vaCaligura akabhadhara varindi vePraetoria kuti vamuite mubati.
Vashanu vaive vafa. “Vashanu havachipo”.
Claudius akaroora mai vaNero. Mai vaNero vakauraya Craudhi kuti Nero aite mubati muna AD 54.
“Achipo”. Nero aive mubati apo Johane Muzaruriri akapihwa mutongo wake wekugara mutorongo wekutanga muchitsuwa chePatimosi.
ZVAKAZARURWA 17:10 Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.
Gariba mubati wemauto wekuSpain akatora chigaro zvechisimba Nero paakazviuraya muna AD 68. Gariba akazourawa wo mumashure memwedzi minomwe.
“Kune madzimambo manomwe”. Mhuri yaJurio Kesari iyi yakabereka mubati wekutanga weRoma. Vakaparadza simba remaSeneta aimbotonga hushe hweRoma. Vakaisa hutongi hwemunhu mumwechete hwehudzvanyiriri paRoma. Vakagamuchira chinzvimbo chaPontiff wezvakavanzika zveBabironi yechipegani. Pasi paNero vakatanga kuurayiwa kwakasimba kwemaKristu. Nhengo yechinomwe kana kuti yekupedzisira aive wekunze aive nehutsigiri hwemauto akatora nzvimbo yemubati kwenguva duku.
ZVAKAZARURWA 17:11 Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
“Chikara” hutungamiri hweRoman Catholic hwakagamuchira mweya waantikristu wechiprita cheBabironi chakabva pamunhu wekutanga kumukira Mwari, Nimrodi.
“Aive wechisere”. Chiverengo chechinomwe chinopedzisa chinhu, zvakafanana nekuti mazuva manomwe pavhiki. Saka resere kutanga kwezvitsva. Kutsiviwa kwemaPope vanotonga kereke yeCatholic kune mweya mumwechete wakafanana newemubati weRoma yechipegani wekutanga.
“wevanomwe” zvinoreva kuti zvaive zvemutowo mumwechete nevabati vanomwe veRoma echipegani vekutanga vehushe hweRoma.
Muchidimbu izvi zvinotsanangura hunhu hwechiPope (kutsiviwa kwemaPope). Vakaparadza kuita kwekereke yekutanga apo makereke maduku aitongwa nevakuru vepanzvimbo vaidzidzisa zvakanyorwa muTestamente Itsva chete. Hudzvanyiriri hwemunhu mumwechete hwakaziviswa pakereke mumunhu anonzi Pope. Pope aidaidzwa kuti Pontiff kuratidza kuti aive ava muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi yechipegani. Mamiriyoni evanhu aisatenderana nekereke yeRoman Catholic vakaurayiwa nekurwadziswa mukati meNguva dzeRima nedzimwe nguva dzakatevera dzacho dzakazopera nguva yakatenderedza 1650.
Pakupedzisira antikristu, munhu wezvakaipa, achatora chinzvimbo chaPope zvechisimba asina kubvira asimuka achibva nezvinzvimbo zvemaCardinari. Hupfumi neruremekedzo munezvechitendero zvemuVatican zvinozviita kuti rive donzvo remunhu waSatani paanosimuka kuti ave mudzvanyiriri wepasi rese.
“chikara chaivapo, hachichipo”,
Kereke yeRoma yakatongwa nemaPope aitsiviwa vanova mutsetse mukurusa wevabati vemasimba pasi rese.
“Chikara chaivapo”. Pope anenge ari musoro wechimiro chekereke. “Chaivepo” zvinoreva kuti kutarisa nguva kumashure shure semadiro amungaite, kusvika kumazuva ekereke yekutanga, kwaingove naPope kana Bishopu weRoma.
Nekuzvidaidza kuti vatsivi vaSt Petro, kereke yeRoma inogona kurondwa kudzokera pakunotanga kwekereke. Asi Petro aive akaroora akabapatidzwa muZita raJesu. MaPope haaiti izvi zvese.
“hachichipo”. Pope anofa. Izvi ndizvo zvinoshandura nekuparadza mutsetse kwehutongi mukati mekufamba kwenguva. Mambo akasimba anofa kwosara kusina mwanakomana akanaka kuti atore nzvimbo iyoyo, saka mutsetse wemhuri iyoyo unotanga kudzima. Mutsetse waJurio Kesari wakangogara kusvika pana Nero.
Dambudziko rekutsiva munhu pachinzvimbo rakagadziriswa nekereke yeCatholic kupfurikidza kurambidza Pope kuroora. Saka kunenge kusina nyaya isina maturo yekuti mwanakomana anotora nzvimbo yababa vake. Kanzuru yemaKadhinari inosarudza kadhinari mumwechete akafanira kuti aite Pope anotevera.
Pope ndiye musoro wechitendero chechikara ichi.
ZVAKAZARURWA 17:8 Chikara chawavona, chaiva po, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
Pfungwa yekuita Pope, Kadhinari, achibhishopu, neVatican nemifananidzo yayo (zvivezwa) zvese hazvimo muMagwaro. Saka mazano aya anobva kugomba rakadzika dzika. Asi simba nemitambo nehupfumi hwakawandisa zveVatican nekuita kwayo zvinofadza pasi rese.
“chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo”.
Kutsiviwa kwaPope. Kare kare kusvika pamungade kurangarira kwaive naPope. Pope anofa (“hachichipo”) vuye “chichazovapo”. Kadhinari anosarudza Pope mutsva.
DANIERI 11:21 "Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Nekuda kwekurudziro dzetsika dzezvitendero pasi rese uye masimba emari ane kereke yeCatholic, chiPope chichava bato guru raantikristu kuti ritore simba apo anotanga kutsvaga kwake kuti ave mutongi wepasi rese. MaKadhinari havasi kuzomusarudza. Nehuchenjeri achashandisa mazwi anonyengera akazviwanira chinzvimbo ichi nemuromo wake. Achazvidaidza Pope Petro II.
Simba rake rezvematongerwo enyika richabva kuvadzvanyiriri gumi. Kana vari munzvimbo dzakasiyana dzenyika zvichaita nyore kuti vaparadze hupikisi hwese hunogona kusimuka sezvo boka rimwechete kana kudarika rinenge riri padyo nenzvimbo inenge yashaya kugadzikika.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
“simba seramadzimambo”. Vanenge vainesimba seremadzimambo asi vasina kugadzwa. Saka vanenge vari vadzvanyiriri.
Chero mutungamiri anenge asarudzwa anogara pamasimba kwemakore anodarika masere kana gumi, anenge ari mudzvanyiriri.
13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
“simba ravo” zvinoreva simba ravo rezvemauto kana zvehondo. Pope wekupedzisira achave nesimba rezvechitendero nemari zhinji nekurudziro totenda maJuda nesimba ravo mumusika wemari nendarama iri muVatican. Kunyanya pavanobatana nevemasangano emakereke.
Kudzokerea kuMagwaro anoti “achiripo”, zvinoreva kuti Johane akanyora chikamu cheBhuku raZvaka zarurwa apo Nero aive mubati akakonzeresa kurwadziswa kwake pakati pegore AD 64 negore AD 68. saka Tembere yaive ichiri yakamira panguva iyoyo.
Pakafa mubati vasungwa vese vaisungirwa zvematongerwo enyika vakaburitswa. Saka Johane akaburitswa muna AD 68 Tembere ikazoputswa mugore AD 70.
Domitian aive mubati kubva mugore AD 81 kusvika gore AD 96. Akarwadzisa maKristu Johane akasungwa zvakare kuchitsuwa chePatimosi. Ndipo apo Johane akapedzisa kunyora Bhuku raZvakazarurwa. Pakafa Domitian mugore AD 96 Johane akaburitswa zvakare. Johane akasarudza maBhuku 27 aizoita Testamente Itsva, akatiyambira pamagumo eBhuku raZvakazarurwa, kuti tisawedzere kana kutapudza chinhu kubva muBhaibheri.
Tembere ichavakwazve here munguva yeKutambudzika kukuru?
MaJuda aikwanisa kuita izvi asi hakuna Magwaro anotaura izvozvo zvakajeka.