Tembere ichavakwazve here munguva yeKutambudzika kukuru? Chikamu 1
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Makereke mazhinji vose vanoti hongu. Asi vari kutaura chokwadi here?
Chinhu chakangooma kuedza kupokana nemafungiro evazhinji. Vanhu vanowanzosarudza kutevera ruzhinji.
DEUTERONOMIO 29:29 "Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJEHOVA Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.
Kune zvakavanzika zvizhinji zvakaziviswa. Asi zvimwe zvakaramba zvakavanzwa kuseri kwechidzitiro.
Zvakavanzika zveTemberi yenguva yeKutambudzika zvakaziviswa here, kana kuti zvichiri kuseri kwechidzitiro chekusagadzikika?
Tine ruzivo ruzhinji here pamusoro penguva yeKutambudzika?
I VAKORINTE 13:12 Nokuti zvino tinovona pachivoni-voni, tisingavoni kwazvo; asi nenguva iyo tichavona nezviso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neni vo.
Zvakawanda pamusoro penguva yeKutambudzika zvichiri zvakavanzwa hatizvioni muzvikamu zveruzivo rwatinarwo nhasi.
Vadzidzi veBhaibheri vemasangano vanopa tsananguro isina kufanira pamusoro pezaruriro yeZvisimbiso zvinomwe zvekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.
Kushaiwa ruzivo pamusoro peChitsauko chakakosha ichi kunotungamirira pakunonzwisisa kusiko pamusoro peBhuku raZvakazarurwa.
Mugore 1963 zvakatora vatumwa vanomwe kuzivisa William Branham kuAmerica kuti gwara rine mano raive radarikirwa kana kupotsana nevamwe muChitsauko chaizivisa kufamba kwaantikristu mukati menguva dzemakereke kusvika paAmagedhoni.
Ndizvo zvinoreva zaruriro. Muonero wegondo wakadzama mumucherechedzo umwe neumwe unozivisa kuti zvivi zvakapinda sei zvikakurira kereke mukati memakore 2000 enhorondo yekereke. Tinofanira kuyambirwa pamusoro pekuti Satani anonyengera sei vanhu. Hatina kuchenjera semafungiro atinoita.
Mutasvi wekutanga haana museve. Zvinomuita muropodzi. Bhiza jena raive mufananidzo wekutevera chitendero. Saka Satani akapinda semunyengeri munezvechitendero.
Pakupedzisira makore akapoteredza AD 860 Pope Nicholas vaipfeka korona imwechete yakazokura kuita korona yezvidanho zvitatu chinguvana gore 1305 richangodarika Clemente V akaitwa Pope.
MaPope akatanga kupfeka korona yezvidanho zvitatu kusvika mugore 1963 apo Zvisimbiso zvitanhatu zveZvisimbiso zvinomwe zvakaziviswa naWilliam Branham.
Hunyengeri hwezvitendero hunobva padzidziso dzisiri muMagwaro netsika dzisimo muMagwaro. Chakapesana nevazhinji ndechekuti paingova nemutasvi mumwechete, Satani, uyo nekufamba kwemakore akazotasva mabhiza matatu kana kuti mweya wesimba raantikristu. Chakanyengera kereke ndeapo pavakatora tsika dzevapegani nezvitendero zvavo vakazvishongedza muzvirevo zvechiKristu. Chakatevera chavakakanganisa chikuru chaive kuzvisanganisa munevematongerwo enyika zvakavawanisa simba pasi rese, rikazoguma rava simba guru remadhimoni rekuva bato guru remari pamakereke.
Satani akaguma abatanidza mabhiza matatu kumaita bhiza rimwechete rakachenuruka remusanganiswa mukati mekuipa kwekusangana kwenguva dzekutadza nekusatenda zvakabuditsa Jesu mukereke yedu yanhasi yeRaodikia. Saka Bhaibheri reKing James Vhezheni harichaonekwe seMukuru wemakereke. Kutevera Magwaro zvakazara zvakuonekwa sekutadza. Zvakataurwa nevanhu nemafungiro avo ndizvo zvakuonekwa sechokwadi.
Saka mavhesi manomwe ekutanga echitsauko 6 chaZvakazarurwa anomiririra nguva nomwe dzemakereke, sezvo nomwe chiri chiverengo chekuzadziswa.
Vhesi rechisere rinomiririra kuita kutsva. Saka vhesi 8 rinomiririra kuita kutsva kweKutambudzika kukuru apo rufu runopinda chete kana Hupenyu hwabuda apo Mweya Mutsvene unotora kereke yechokwadi kunosangana naShe kumakore.
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Chisimbiso chechishanu chinoratidza nyasha dzaMwari kumaJuda vakaurayirwa kutenda kwavo mukati menguva nomwe dzemakereke. MaJuda anotenderwa kutsiva ziso kuziso. MaKristu anonamatira vavengi vavo kuti varegererwe.
Chisimbiso chechitanhatu ndiko kukanganiswa kwemamiriro ezvinhu munguva yeKutambudzika kukuru.
Chisimbiso chechinomwe ndirwo runyararo. Chakavanzika chikurusa pasi nedenga. Kuuya kwaShe Jesu Kristu kusati kwazivikanwa.
Pasina hama Branham nemuono wavakatambanudza, tingadai tisina kubvira tagona kubatanidza makwara aya ese pamwechete kuti tinzwisise Chitsako 6 zvakanaka, sezvo chichibata pamusoro pemweya waantikristu unonyengera kwazvo.
Saka hazvibatsiri kufungidzira nzira yedu mukati meHwamanda nomwe neNdiro nomwe.
Vanhu vakaedza asi fungidziro dzavo hadzina hudzamu uye hadzina kufemerwa.
Johane Muzaruriri akaita dambudziko pakutsanangura mweya waantikristu wekunyengerwa mumasangano, kuzvisanganisira kwekereke munezvematongerwo enyika, nekusimuka kwemadhimoni achiunza rudo rukuru rwemari mumakereke. Akatsanangura mweya iyi achishandisa zvinhu zvatinoziva zvenyama zvakafanana nemabhiza nemutasvi.
Kana tasvika pazviitiko zvenguva yekutambudzika tinoziva zvidimbu chete. Hwamanda nomwe dzakavanzwa kuseri kwechidzitiro chemicherechedzo zvekuti hazvirevi chinhu kufungidzira nezvazvo. Ndizvo zvimwechete neNdiro nomwe dzekutongwa .
Mwari aisada kuti hama Branham vaparidze pamusoro peHwamanda nomwe sezvo dzichizoshanda kumaJuda munguva yeKutambudzika uye nguva yeKutambudzika haina chekuita neMwenga.
64-0719M MUTAMBO WEHWAMANDA
Chii chiri kuitika kuti zvinhu zvese zvibviswe pakuparidza Hwamanda idzodzo?” Obva auya kuzodziratidza. Zvino mangwanani ano, ndinoda kutaura nemi kuti nekuda kwei.
... Zino, ndanga ndichitsvaga nguva yekuti nditaure pamusoro peHwamanda nomwe, mubhuku raZvakazarurwa. Zvino takunozivisa izvozvo, muchinguvana, kuti tiburitse chikonzero chekuti ndisataure nezvazvo ikozvino, nekuti Mweya Mutsvene haungandisiyi ndichitaura nguva ino pamusoro pezvinhu izvi. Ndinoziva kuti izvi zvinonzwika zvisirizvo, zvichida, kuvanhu vakadzidza nekunzwisisa kukuru, asi kumaKristu zvakatosiyana. Tinotevera hutungamiri hweMweya. Izvozvo chete.
… Zvino, chikonzero nei Kutinhira kunomwe kusingarevi kukereke ino nenguva ino, ndechekuti kwakanangana neIsraeri chete. Ndiko kudanwa, kwekuunganidzwa kwevanhu. Zvino kungori nemufananidzo muno wandinoda kuti musvike pauri, mumaminetsi mashomanana, ndipo pamuchaona kuti nei dzisingashandi kunguva yedu ino yatiri kurarama mairi; Hwamanda Nomwe.
... pandakapinda mukamuri, kunoedza kunzwisisa , zvaivepo kuti Mweya Mutsvene wakazarura izvozvo, kunondiratidza kuti hazvina betsero chero kukereke nhasi, nekuti hadzina chekuita nekereke, zvachose.
Saka Hwamanda nomwe dzinoramba dziri chakavanzika sezviri Ndiro nomwe dzekutongwa.
Hama Branham vakasangana nezaruriro yekuzarurwa kweZvisimbiso zvinomwe muna 1963.
Zaruriro iyi yaive munongedzo wezviitiko zvenguva nomwe dzemakereke uyezve kuti Mwari anoshanda sei nemaJuda mukati menguva dzemakereke uye mukati meKutambudzika.
Zaruriro iyi ndiyo yaive munongedzo waidzidzisa zviri nani asi tinofanira kutsvaga zviitiko zvakawanda zvenhorondo yekereke zvinokwana muzaruriro iyi.
Asi Chisimbiso chechinomwe hachina kubvira chazarurwa muzaruriro iyi. Chakaramba chiri chakavanzika.
64-0719 MUTAMBO WEHWAMANDA
Chisimbiso chechinomwe hachisati chazarurwa, munozviziva. Ndiko kuuya Kwake.
Mwenga anenge ari Kudenga muzvitsauko 4 ne 5 zvaZvakazarurwa. Kukwira Kudenga mukubwaira kweziso kunoitika muchitsauko 4. Johane anotorwa kukwira Kudenga, munhu mumwechete akamiririra Mwenga.
ZVAKAZARURWA 4:1 Shure kwaizvozvo, ndakatarira ndikavona mukova wakazaruka kudenga; nenzwi rokutanga randakanzwa rakaita serehwamanda richitaura neni; richiti: Kwira pano, ndigokuratidza zvinofanira kuitwa shure kwaizvozvo.
2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.
Saka Gwaiana parinozarura Zvisimbiso zvinomwe muzviitiko zvazvo zvese kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6, Mwenga anenge aKudenga.
AMOSI 3:7 Zvirokwazvo, Ishe JEHOVA haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.
Mwari haasi kuzozarura Zvisimbiso zvinomwe asati azvizivisa.
Mugore 1963 Zvisimbiso zvakazarurwa iri zaruriro yekutiudza kuti zvakamiririrei.
Asi kuzarurwa kwazvo chaiko kuchaitika paMutambo weMuchato Kudenga.
64-0719 MUTAMBO WEHWAMANDA
Vahedeni, apo izvo Zvisimbiso zvakazarurwa, zvakasimbiswa, nguva inoguma, kereke yodanwa.
Chisimbiso chechinomwe chinozaruka chete pakuuya kwaShe panopera nguva kuMwenga pavanopinda mumuviri usingawori usingachemberi kana kushanduka.
Kana muchiri kuchembera nekushanduka, muchiri kurarama munguva.
Nguva inokonzeresa shanduko dzinotichembedza.
ZVAKAZARURWA 10:5 Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga,
6 Akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo.
Isu, mumiviri ino yatiri, hatinzwisisi kuguma kwenguva.
Hatizivi kuti nguva chii. Hatitogoni kupima nguva.
Tinopima kufamba kwechinongedzo pachiso chechiringazuva, asi hatipimi nguva.
Kuti nguva inopera sei zviri kusi kwesimba redu rekunzwisisa.
Saka Chisimbiso chechinomwe chinoshanda nekuuya kwaShe chinoramba chiri chakavanzika.
Tinozoda muviri wakafuka kubwinya nepfungwa itsva dzekubwinya kuti tigone kunzwisisa chiitiko ichocho.
Tichiwedzera, chisimbiso chechitanhatu chinogona chete kuzarurwa nemaprofita maviri munguva yeKutambudzika.
Chisimbiso chechitanhatu chinotaura chete nezvenguva yeKutambudzika kukuru.
64 MUTAMBO WEHWAMANDA
Rangarirai, Hwamanda dzese dzinorira pachisimbiso chechitanhatu ichi. Chisimbiso chechitanhatu chinopedzisa zvakavanzika, pasi pechisimbiso chechitanhatu, Chisimbiso chechinomwe chisati chazarurwa.
Ndiyani anozarura Chisimbiso chechitanhatu kana Mwenga akudenga? Maprofita maviri.
63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU
... [Mosesi naErija] vane simba pamusoro pemvura kudzishandura kuita ropa kurova nyika nehosha nepavanoda napo.
Chimbori chii? Chii chingaunze zvinhu izvi kunze kweShoko? Vanogona kuita zvavanoda nemamiriro ekunze. Ndizvozvo. Ndivo vanounza chisimbiso chechitanhatu. Vanochiburitsa pachena vochizarura. Isimba raMwari kuita zvavanoda nemamiriro ezvinhu panyika. Mazviona, Chisimbiso chechitanhatu, kushandurwa kwemamiriro ezvinhu kwakazara.
Mazvibata here manje? Ndicho Chisimbiso chenyu. Ndiyani akachiita? Maprofita kune rumwe rutivi rwevasina kukwira Kudenga. Nesimba raMwari, Shoko raMwari, vanoraira mamiriro ekunze nezvinhu. Vanogona kutumira kudengenyeka kwenyika, kushandura mwedzi kuita ropa, zuva rinogona kudzima chero chinhu chavafunga kuraira. Amen.
… NdiMosesi naErija, ‘nekuti ndipo panodzoka hushumiri hwavo zvakare: varume vaviri ava. Oh, maiwe. Mazviona here? Tarirai kuti Chisimbiso chechitanhatu chii? Ndiwo maprofita iwayo.
Zvino, tarirai. Musarega zvichikudzipai, asi tarirai kuti chii chakazarura Chisimbiso ichocho: maprofita. Mazviona? Amen. Ndizvozvo. Oh, tiri kurarama mazuva egondo, hama, musoro uri pakati pemakore. Vakazarura Chisimbiso chechitanhatu. Vane simba rekuita izvozvo. Amen. Ndicho Chisimbiso chenyu chiri kuuya chakazarurwa. Mazviona?
Tine zaruriro yekuzarurwa kweChisimbiso chechitanhatu chingori kuratidzirwa kwezviitiko zveKutambudzika kukuru asi zviitiko zvacho chaizvo zvinozivikanwa nemaprofita maviri echiJuda. Mosesi naErija vanozarura Chisimbiso chechitanhatu kupfurikidza kushandura mamiriro ekunze nezvinhu payika nekurova nyika nehosha nezvirwere nenzara kwemakore matatu nehafu.
ZVAKAZARURWA 11:3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviprofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu
Mazuva 1260 mwedzi 42 ine mazuva makumi matatu. Izvi zvinoburitsa makore matatu nehafu.
ZVAKAZARURWA 11:6 Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Saka tinotarisa zviitiko zvenguva yeKutambudzika nekakusagadzikana. Tine zvimwe zvinhu zvatinoziva pamusoro peKutambudzika asi pane zvizhinji zvatisingazivi.
Tinoziva kuti nguva yeKutambudzika ichange iri kukanganiswa kwemamiriro ezvinhu panyika, asi hatina simba rekushandura kana kukanganisa mamiriro ezvinhu nekunze nenzira inoita kuti zvititeerere. Mosesi akaita kuti gungwa dzvuku rizaruke kuti asunungure maJuda kubva kuna Farao.
Asi maprofita maviri echiJuda vachataura mamiriro ezvinhu ovateerera kuti vagone kuparadza vavengi vavo.
Tembere yemaJuda ichavakwazve here munguva yeKutambudzika?
Izvi zvinosimudza mubvunzo wekuti Tembere yekutanga yaivepi pakutanga.
Vakavaka guta [foti] rinonzi Antonia kumusoro kweTembere. Tembere yakaparadzwa nemukuru wemauto eRoma Tito muna AD 70 ikazopedzisa kuparadzwa nemubati weRoma Hadrian muna AD 135. Vakavaka Tembere yeRoma panzvimbo yayo ikazoparadzwa nemubati constantine. VaPersia vakatapa Jerusarema muna AD 614 vakaparadza makereke mazhinji. MaArabu vakabva vapamba Jerusarema muna AD 638 vakavaka Mosiki yaOrmar vachishandisa mapango yakagara kwemakore makumi anoverengeka ikazoparadzwa. Mugore 691 Dome of the Rock (D) yakavakwa negore 710 mosiki yeAl-Aqsa (A) yakazovakwawo. Asi yaizoparadzwa ichivakwazve nguva dzinokwana kuita shanu.
Nzvimbo huru yakaenzana mativi maviri nemamwe mativi maviri akaenzana zvakare (yakaratidzwa neruvara rutsvuku) yakatanga kuzivikanwa seGomo reTembere vanhu vakatanga kutenda kuti Tembere yaive yakavakwa paGomo reTembere iri, sekuratidzika kwazvakaita pamufananidzo unotevera.
Asi nyaya iyi inonetsa kunzwisisa.
Vamwe vadzidzi vanotenda kuti Tembere yaive yakavakwa pachisipiti cheGihoni (kanzvimbo kakaratidzwa muruvara rutsvuku kakaenzana mativi ese) uye kuti nzvimbo iyi yaizivikanwa seZioni. Ndiyo yega nzvimbo inowanikwa mvura chinhamwe chemamaira mashanu ipapo.
MAPISAREMA 87:5 Zvirokwazvo, pamusoro peZiyoni vachati, "Uyu nouyo vakazvarirwamo; Naiye Wokumusorosoro amene acharisimbisa."
MAPISAREMA 87:7 Vanoimba navanotamba, vachati, "Matsime angu ose ari mauri."
Nhasi uno pane mugwagwa nenzvimbo yekuchengetedza dzimotokari panzvimbo iyi. Kana Tembere yaive yakavakirwa ipapo zvinoreva kuti hakuna mabwe akasara akamira.
MATEO 24:1 Zvino Jesu wakabuda patembere, akati oenda vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.
2 Jesu akapindura akati kwavari, munovona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.
Dhokotera Martin vanotaura vachitsigira zvakasimba kuti chisipiti cheGihon pachiri ndipo paive pakavakirwa Tembere. Vakaita kudzokorora kuvakwa kweTembere yaHerode neFoti Antonia, kunyora kwake kunowanikwa mubhuku rake richangoburwa, The Temple that Jerusalem Forget, nevashambadzi veASK.
Website: www.askelm.org.
Saka tinotarisa nemugirazi zvakadzima. Nzvimbo yeTembere yakaparadzwa nemaRoma zvakazara makore 2000 akadarika saka zvinonetsa kunzwisisa.
Mosiki yekutanga yemapango yaOmar, yakavakwa makore mazana mashanu mumashure mekuparadzwa kweTembere, yakaparadzwawo makore akati wandei mumashure mekuvakwa kwayo. Hakuna anoita seanoziva kwayaive iri chaiko kana kuti yakaparadzwa sei.
Zvakaoma kwazvo kuti tiwane zvizere pamusoro pemosiki yaOmar yekutanga yaive yakavakwa nemapango.
Kune Mosiki yaOmar chinhambwe chinoda kukwana hafu yekiromita kuruboshwe kweDome of the Rock pamepu yeJerusarema yegore 1915. Yakavakwa muna 1193. iri kuzasi kwekereke yeHoly Sepulchre (mubokisi regirini) kwete kumabvazuva kwekereke kunonzi Omar aive akavakira mosiki yake yekutanga.
Chatinoziva pachokwadi ndechekuti Dome of the Rock yakavakwa muna AD 691. Yakagara panozivikanwa nekunzi paGomo reTembere.
Dzimwe nguva inodaidzwa kunzi “Mosiki yaOmar,” Dome of the Rock haisi mosiki kana kuti Mosiki yaOmar. Omar akavaka chivakwa pekutanga, kumabvazuva kwekereke yeHoly Sepulchre tichangodarika 638 AD, asi haana kuvaka Dome of the Rock yakavakwa muna AD 691. Chivakwa ichi chinoonekwa senzvimbo inoyera kwete mosiki. Vanhu vanotononamatira kumosiki yeAl-Aqsa yakavakirwa mamita 200 kuzasi kwacho. MaMoziremu vanotenda kuti ndiyo nzvimbo yakapotsa yaurairwa Ishmaeri nababa vake Abrahama sechibairo. (BiblePlaces.com)
Mosiki yeAl-Aqsa yakavakwa makore akapoteredza AD 710 – 715. Yakaparadzwa kakawanda nekudengenyeka kwenyika ikavakwazve kanokwana kashanu.
Saka kana Tembere ichizovakwazve tinenge tisingazivi nzvimbo chaiyo chaiyo. Ruzivo chairwo rwezvichaitika nguva yeKutambudzika kukuru rwunoita serwusina kujeka.
Mufananidzo unotevera wakaitwa naAndrew Shiva / Wikipedia, CC BY-SA 4.0, https://commons.wikimedia.org/w/index.php?curid=30066666
Mufananidzo uri padenga apa unoratidza Gomo reTembere sekuratidzika kwarinoita nhasi uno. Mosiki yeAl-Aqsa iri mubhokisi dzvuku. Dome of the Rock ine denga reruvara rwegoridhe iri mudenderedzwa regirini.
Kana Tembere ichifanira kuvakwazve munzvimbo iyi, hazvina chokwadi chekuti iDome of the Rock here kana kuti Mosiki (kana zvese) zvichapwanyiwa kana kuti Tembere ichavakirwa pane imwe nzvimbo kuti zigovane nzvimbo yacho neDome neMosiki. Asi handizvo zvainge zvakaita Tembere pakutanga. Tembere yega yaive yakatora nzvimbo iyi yega.
Ngatitarisei nhorondo duku yeTembere yaSoromoni.
Vanhu vekuBabironi vakapamba Juda muna 606 BC nemuna 587 BC. Izvi zvakakonzera kuti maJuda vapambwe neBabironi Tembere nemasvingo aive akapoteredza guta reJerusarema zvikaparadzwa.
Zvinhu zvakabva zvashanduka maMediani nevaPersia vakapamba Babironi muna 538 BC.
Mambo wevaPersia Cyrus akaudza maJuda kuti vaikwanisa kudzokera kuIsraeri vonovaka Tembere yavo patsva.
EZRA 1:2 Zvanzi naKoreshi mambo wePersia, JEHOVA Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusarema riri paJuda.
Mugore 536 BC maJuda akatanga kuvaka Tembere nekuti vaive vapihwa mvumo namambo Koreshi.
EZRA 3:8 Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusarema,
EZRA 3:10 Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJEHOVA,
Kwemakore anoda kusvika 17 vakamiswa nevavengi vavo. Asi vakazovaka zvine simba uye vachishingirira kwemakore mana, totenda mvumo itsva yavakapihwa namambo Dariusi muPersia, uye negore rinenge 515 BC Tembere yaive yavakwa zve. Jeshua, Zerubaberi, nemaprofita maviri Haggai naZakaria ndivo varume vana vakabata basa pakuvakwazve kweTembere.
Darius akaitwa mambo wevaPersia makore akapoteredza 521 BC.
EZRA 6:15 Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdhari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dariusi.
Zvinhu zvakambomira kwemakore anokwana 56 Ezra asati atora mwedzi inenge gumi achidzorera zvikoshwa zvemuTembere nekunamata muTembere. Iri rinenge raive gore 459 BC.
Hakuna chakaitika zvakare kwemakore gumi nematatu kusvikira Nehemia asvika makore akapoteredza 446 BC kuti avake masvingo eguta nemasuwo aro. Masuwo ndiwo paisangana nzira nemasvingo. Akavaka masvingo akapoteredza Jerusarema nemasuwo aro mumazuva makumi mashanu nemaviri.
NaNehemia tinosangana nechiprofita chaDanieri chemavhiki makumi manomwe.
Muchiprofita zuva rimwe rinogona kumiririra gore rimwechete.
Rabani akaita kuti Jakobo amushandire kwemakore manomwe asati aroora Rakeri. Akadaidza makore aya kuti vhiki.
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve."
Saka vhiki rinogona kuita makore manomwe muchiprofita.
DANIERI 9:24 Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene.
70 x 7 = 490 ndiwo makore kubva pamurairo wekuvakazve masvingo eguta nemasuwo aive mumasvingo maive nenzira dzemuguta.
DANIERI 9:25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
Murairo wakapihwa riini kuna Nehemia?
NEHEMIA 2:1 Zvino nomwedzi weNisani, negore ramakumi maviri ramambo Aritashasita, panguva yaakanga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Zvino ndakanga ndisina kumbopunyaira pamberi pake.
NEHEMIA 2:5 Ndikati kuna mambo, "Kana mambo achifara nazvo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditumire kwaJuda, kuguta ramarinda amadzibaba ang u, ndinorivaka."
Artashasita akaitwa mambo muna 465 BC.
Saka gore rake rechimakumi maviri rinenge riri 446 BC. (Mazuva nemakore muzvikamu zvakadai anowanzorasisa).
Zviverengo zviri muruvara rwutsvuku zvinoratidza gore rake rekutanga muna 465 BC.
“Migwagwa ichavakwa zve, nemasvingo, kunyange nguva dzematambudziko”.
NEHEMIA 2:17 Zvino ndakati kwavari, "Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa."
Vavaki vaivaka ruvoko rumwechete rwakabata chombo. Aya aive mazuva anotyisa kwazvo.
NEHEMIA 4:17 Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo;
NEHEMIA 4:18 uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake wakasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni.
Masvingo akavakwa mumazuva 52.
NEHEMIA 6:15 Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri.
Saka, kutangira muna 446 BC tichiverenga makore edu evaHendeni maJuda aive nemakore 490 echiJuda kana emuBhaibheri aive asara panguva yavo.
Izvi zvakapatsanurwa muzvikamu zvitatu.
Maviki manomwe, mavhiki makumi matanhatu nemaviri, vhiki rimwe.
Makore makumi mana nemapfumbamwe makore 434, makore manomwe (tichiona vhiki rimwechete rakamiririra makore manomwe)
Zvakaoma kubatanidza zvinoreva nguva yemakore makumi mana nemapfumbamwe (49).
Makore aya aive asina chekuita neTembere.
Tembere yaive yavakwa makore 70 Nehemia asati apihwa murairo wekuvakazve masvingo eguta zvakamutorera mazuva 52 kumavaka.
Tembere yaive yavakwa negore rinenge 515 BC. Nehemia akazovaka masvingo muna 446 BC.
Vadzidzi vanonetseka kuwana mazuva aMaraki, muprofita wekupedzisira muTestamente yekare.
Vanowanzofungira mazuva emakore kubva muna 430 BC kusvika 400 BC.
Dhokotera Scofield, pakutanga kwake, akasarudza gore 397 BC.
Izvi zvinogona kuita makore 49 mumashure mekupihwa kwakaita Nehemia murairo wekuvaka masvingo eJerusarema patsva muna 446 BC.
Saka chiprofita chaDanieri chinoita sechakavimbisa maJuda nguva yemakore 49 hutungamiri hwechiprofita husati hwagumiswa apo zvakaprofitwa naMaraki zvakagumisa Testamente Yekare.
Maraki zvinoreva kuti “nhume” (“munyai”).
Saka anoyanana naJohane Mubapatidzi anoziviswa achinzi:
MARKO 1:2 Sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi, tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako. Uchakunatsira nzira yako.
3 Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
Kwaizoita mavhiki 62 (makore 434) Johane Mubapatidzi, akasvika mugore AD 29, uye nehushumiri hwakasarudzika hwemwedzi inenge mitanhatu, asati abapatidza Jesu mugore AD 30.
RUKA 3:21 Vanhu vose vakati vabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.
22 Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira
23 Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,
Mubati weRoma Augustus akafa muna AD 14. Mwanakomana wake wekurera Tiberio akazoitwa mubati naSeneta. Munhu aiitwa mubati chete kana agadzwa naSeneta weRoma kuti ndiye mubati. Tiberio Kesari akaitwa mubatsiri wemubati naAugustus muna AD 12 asi mazuva aya aive achiri kutarwa takatarisana nehupenyu hwaaugustus. Mumashure merufu rwaAugustus uye Seneta paakabvumirana nekuti aive mubati, ndipo paizotariswa mazuva takamatarisa muzvikamu zvaTiberio.
RUKA 3:1 Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, ....
2 … shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.
Saka Johane akatanga kuparidza muna 14 + 15 = 29 AD.
Nguva yematsutso inotanga pakati pemwedzi yakurume nakubvumbi saka mwedzi inenge mitanhatu inounza nguva kunana Gunyana naGumiguru vegore AD 29 paizobapatidzwa Jesu (gore AD 30 rakuda kusvika).
Mwedzi mitatu pakupera kwegore AD29 nemwedzi mitatu kutanga kwegore AD 30 zvaizoreva kuti Jesu akaita hushumiri hwemwedzi mitanhatu Paseka yekutanga isati yasvika mwedzi yakapoteredza Kurume naKubvumbi mugore raAD 30.
Makore matatu akazotevera muna AD 33 Jesu aizouraiwa papaseka, hushumiri hwake hwoita makore matatu nehafu.
Hushumiri hwaJesu hwakaita pakati pemitambo yepaseka inokwana mina.
JOHANE 2:23 Zvino nguva yaakanga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachivona zviratidzo zvaaiita.
(Izvi zvinobva muna Kurume – Kubvumbi). Paseka yekutanga muna AD 30.
JOHANE 6:4 Paseka mutambo wavaJuda, wakanga uri pedo.
Iyi yaive yava paseka yechipiri muna AD 31.
Jesu akabva ataura kuva Samaria muna Zvita waAD 31 (Mwedzi mina baari isati yakohwewa muna Kurume – kubvumbi AD 32, panguva yePaseka, zvakatanga mutambo wegore raitevera).
JOHANE 4:35 Ko imi hamuti: Kwasara mwedzi mina, kucheka kwasvika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, vonai minda, kuti yatoibvira kucheka.
JOHANE 5:1 Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJuda waivapo; Jesu akakwira Jerusarema.
Iyi yaive paseka yechitatu yakaitwa naJesu. Gore AD 32.
Kana kuti, kana yaive isiri Paseka, waive mumwe wemitambo yaitevera mumashure mePaseka yechitatu. Paseka yakagara iri mutambo wekutanga pagore.
Saka paive nemutambo pakati pegore AD 32 mumashure menguva yechando yaAD 31. Kana yaive isiri Paseka, waive mumwe wemitambo yaitevera paseka yegore AD 32. Izvi zvinoreva kuti Paseka yegore 32 AD yaive yatoitika, yaifanira kuva Paseka yechitatu muhushumiri hwaJesu.
JOHANE 11:55 Zvino paseka yavaJuda yakanga yava pedo, vanhu vazhinji venyika iyo vakakwira Jerusarema, paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.
Iyi yaive Paseka yechina yakaitwa naJesu. Gore iri raive AD 33.
Mapaseka mana aireva kuti makore matatu aive adarika. Nemwedzi mitanhatu yehushumiri hwaJesu paseka yekutanga isati yaitwa. Saka hushumiri hwake hwese hwakaita makore matatu nehafu.
Rubapatidzo rwaJesu rwemvura, gore AD 30 rakuda kupera, zvakagumisa mavhiki 69.
Kwakanga kwane makore manomwe aive asara. Asi Jesu akazadzisa matatu nehafu chete.
DANIERI 9:27 Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."
Jesu aifanira kuita hushumiri hwemakore manomwe hunodaidzwa kuti vhiki rechimakumi manomwe, ogadza Mereniyamu hushe hwemakore 1000 erugare.
“pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo,”
Jesu akauraiwa pakati pemakore manomwe ekupedzisira.
Rufu rwake rwakabvisa Gwaiana repaseka.
Mwari akabvarura chidzitiro chemuTembere akagumisa murairo wemaJuda.
Makore 37 akatevera maRoma vari pasi patito vakaparadza guta neTembere. Kubva ipapo kwaive kusisina chibairo chemazuva ose.
DANIERI 9:25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune Wakazodzwa, iye Muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
“Wakazodzwa iye muchinda”.
Muchinda Mwanakomana waMambo. Kukosha kuri pakuva Mwanakomana.
Magwaro akazadziswa pakubapatidzwa kwaJesu.
RUKA 3:21 Vanhu vose vakati vabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.
22 Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.
Rubapatidzo rwakaisa kukosha pana Jesu semwanakomana waMwari.
Mweya Mutsvene wakaburuka ukazorora pana Jesu nekumuzodza.
MATEO 1:20 Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.
Munhu anoisa mbeu yehupenyu muchibereko chemukadzi ndiye baba vemwana.
Saka Mweya Mutsvene ndiye Baba vaJesu.
Saka Mweya Mutsvene ndiye Mwari Baba.
Saka Mweya Mutsvene akataura paakaburuka kunozorora pana Jesu sezodzo. Mweya Mutsvene haana kupinda muna Jesu.
Johane Mubapatidzi akati:
JOHANE 1:33 Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye unobapatidza noMweya Mutsvene.
MABASA 10:38 Jesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba;
“Wakazodzwa iye muchinda”.
Messiasi zvinoreva kuti Wakazodzwa.
Muchinda zvinoreva kuti Mwanakomana waMambo. Mwanakomana waMwari.
Jesu paakabapatidzwa kana kugezwa ari Gwaiana rechibairo, ndipo pakatangira hushumiri hwake.
Mavhiki manomwe kusanganisa nemavhiki 62 tinowana mavhiki 69.
69 x 7 = makore echiJuda 483.
Asi kubva pagore 446 BC kusvika AD 30 = 476 makore echiHedeni. Nei paine musiyano?
Gore rechiJuda rine mazuva 360 uye rakasiyana nemazuva 5.24 negore rechiHedeni.
Saka pamakore 70 ega ega echiJuda pane makore 69 echiHedeni.
(69 x 5.4 = mazuva 361 = gore rimwechete rechiJuda).
Pamakore 70 ega ega maJuda vanowana gore rimwechete kuvaHedeni.
Mumakore 490 vanowana 490/70 = makore 7 kudarika makore evaHedeni.
Saka makore 476 evaHedeni + makore 7 evaJuda anoraudzira = makore 483 echiJuda mavhiki 69.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Mazuva 1260 mwedzi 42 chete kana mwedzi weBhaibheri uri nemazuva 30.
Izvi zvinorevawo kuti maJuda vane mwedzi 42 yavasina kushandisa. Ndiwo makore matatu nehafu.
Vhiki rechimakumi manomwe rakagurirwa nepakati.
Mahafu maviri aya akapatsanurwa nenguva nomwe dzemakereke, dzinomiririrwa nechigadziko chemwenje minomwe.
Jesu akarovererwa mugore AD 30 Mwari akamira kushanda nemaJuda.
Mweya Mutsvene wakaburuka kuzozadza kereke pazuva rePentekositi ukatungamirira kereke mukati menguva nomwe dzemakereke.
Mweya Mutsvene uchatora Mwenga kunosangana naShe kumakore kudenga paKuuya kwake (kunowanzodaidzwa kuti Repucha [kukwira Kudenga mukubwaira kweziso]).
Evhangeri rinodzokera kumaJuda munguva yeKutambudzika apo Mosesi naEria vanodaidza maJuda 144,000.
55-0109E KUTANGA NEKUGUMISWA KWEKUGOVERWA KWEVAHEDENI
Zvino, ipapo pazviratidzo izvi zvese akamuratidza kuti marudzi achange amire papi. Akavaratidza kuti kwaive nemakore mazhinji kwazvo maJuda akamirira. Akati Messiasi achauya hake. Achaprofita muvhiki rechimakumi manomwe, makore matatu nehafu, ndipo pakati paanogurirwa, saka makore manomwe.
[Hama Branham vakapatsanura vhiki rechimakumi manomwe kuita mahafu maviri. Jesu akaparidza makore matatu nehafu ekutanga].
Zvino, Messiasi paakauya, Jesu, akaparidza makore matatu nehafu chaiwo achibva agurwa kuitwa chibairo. Chipiriso chemazuva ese chakabviswa uye nyangadzi, muparadzi anonyangadza, Mosiki yaOmar yakamira nhasi uno panzvimbo yeTembere tsvene. Mosiki yaOmar nhasi uno iri chaipo paive pakavakirwa Tembere.
Hama Branham vanoita sevanofunga kuti Dome of the Rock ndiyo Mosiki yaOmar.
Vamwe vadzidzi vanotenderana nemaonero avo aya. Vamwe vadzidzi vanopokana nemaonero iwayo. Iyi inyaya inonetsa kunzwisisa.
57-1002 MIBVUNZO NEMHINDURO PAMUSORO PAVAHEBERU. 2
Kune makore matatu nehafu avasina kupihwa, asina kupihwa kumaJuda. Ndizvo zvazvinofanira kuva.
Saka kune makore matatu asara emaJuda.
61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 2
Zvino chipiriso chemazuva ose chichabviswa; ipapo nyangadzi inoparadza (iyo Mosiremu yaOmar yakamira panzvimbo yeTembere pazuva ravakapisa Tembere), ipapo kune makore matatu nehafu akasarira vaIsraeri.
Kutaura uku kune zvakakanganiswa makuri.
Mosiki yaOmar haina kuvakwa pakapiswa Tembere.
Tembere yakapiswa muna AD 70. MaMoziremu akatapa maJuda mun 683 AD makore 568 akazotevera.
Imwe nguva mumashure maizvozvo Mosiki yemapango yaOmar yakavakwa ikaparadzwa.
Mugore 691 Dome of the Rock yakazovakwawo, makore anoda kuita 621 mumashure mekupiswa kweTembere.
Panewo kumwe kukanganiswa kwekutaura pamharidzo iyi “Vhiki raDanieri rechimakumi manomwe.”
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Tarira kune makore 49 panguva yekuvakwa kweTembere, ‘nekuti kwaive nemavhiki manomwe akatarirwaTembere, kuti Tembere ivakwe zve; yakavakwa kwemakore makumi mana nemapfumbamwe akakwana.
Akaita makore makumi mana nemapfumbamwe akakwana kuti vavake Tembere kubva muna Kurume 14 BC 538 kusvikira Tembere yadzorerwa zvakare migwagwa yadzorerwa zvakare, makore makumi mana nemapfumbamwe akazara.
Mazuva aya haasiriwo.
Tembere haina kuvakwa zve kwemakore 49, zvakatora makore anoda kukwana 21 nekuda kwekumbokanganiswa nevavengi.
Tembere yaive yadzorerwa negore 515 BC. Masvingo nemigwagwa zvaive zvadzorerwa muna 446 BC. Musiyano wemakore 69.
Koreshi akapa murairo wekuvakazve Tembere mumashure mekutora hushe muBabironi muna 538 BC.
EZRA 1:1 Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJEHOVA rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, JEHOVA akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati,
2 "Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, JEHOVA Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJuda.
Kuvaka kwakatanga makore maviri akazotevera mugore rake rechipiri, makore akapoteredza 536 BC.
EZRA 3:8 Zvino negore rechipiri rokusvika kwavo paimba yaMwari paJerusaremu, nomwedzi wechipiri,
EZRA 3:10 Zvino vavaki vakati vachiteya nheyo dzetemberi yaJEHOVA,
Tembere yakapedziswa muna 515 BC mugore rechitanhatu rekubata hushe kwamambo Darius akazoitwa mambo makore akapoteredza 521 BC.
EZRA 6:15 Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dariusi.
536 – 515 = 21 years (approximately). 536 – 515 anoita makore 21 (kufungidzira).
Tembere yakavakwa nguva inoda kuita makore 21. mukati menguva idzodzo kuvaka kwaimbomiswa kwemakore anoda kukwana 17.
Asi kuvakwazve kweTembere uku hakuna chekuita nemavhiki makumi manomwe aDanieri.
Murairo wekutanga mavhiki makumi manomwe wakapihwa muna 446 BC uye waive wekuvakazve masvingo akapoteredza Jurusarema. Nemasuwo emigwagwa yemuguta.
Aya aive makore 69 mumashure mekuvakwa kweTembere.
DANIERI 9:25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune Wakazodzwa, iye Muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
Apa hapana kutaurwa zvekuvakwazve kweTembere.
Pane kutaura kunotevera hama Branham vakabata kutaura kwaClarence Larkin's mubhuku rake “Dispensational Truth” rinoonekwa sechokwadi nevadzidzi veBhaibheri vakawanda.
61-0806 DANIEL VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Zvino, zvino Jesu, Messiasi, akapinda muguta reJerusarema, nekukunda, akatasva mwana webhiza muchena, musi weSvondo yeMichindwi, zuva rechipiri remwedzi waKubvumbi AD30. Jesu akapinda muJerusarema musi weSvondo yemichindwi A.D. 30. Zvino, zvino, kubva mugore 445 B.C kusvika mugore A.D. 3O, makore 475 akakwana”.
Kutaura uku kunoshamisa nekuda kwekukanganiswa kuri makuri.
Jesu akatasva mbongoro kwete bhiza. (Soromoni akatasva bhiza kuti azodzwe kuitwa mambo.)
Mbongoro chena? Ruvara rwembongoro haruna kutaurwa muMagwaro.
ZAKARIA 9:9 Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu, tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.
Handina chokwadi kuti hama Branham vari kuedza kutaura zvakataurwa nani pano pavanotaura nezvebhiza jena. Asi kutaura kwavo hakusiko.
Zvisinei, zuva rekuti 2 Kubvumbi AD 30 rakabva kuna Clarence Larkin (Peji 71 rebhuku rake Dispensational Truth.)
Larkin akatangawo nezuva remuna 445 BC. Akasanganisa humbowo hwake sezvinotevera:
445 BC + 30 AD = 475 makore masere wakavapo kubva pamavhiki 69 Messiasi asati auya, 69 x 7 = makore 483.
Larkin anoti ane chokwadi pakutaura kwake mazuva aya asi akatadza kutaura kuti Jurio Kesari akaita karenda akaita gore 45 BC riite mazuva 445.
Zvino kubva muna 44 BC kusvika AD 12 maRoma akawedzera rimwe zuva kuita ripi ye pamakore matatu ega ega pachinzvimbo chemakore mana. Uku kwaive kumwe kukanganiswa kwemazuva nemazuva anoda kukwana mana.
Saka kuedza kutsvaga mhinduro pazuva, sezvakaedzwa naLarkin, hazvisirizvo.
Asi Svondo yeMichindwi handipo pakaonekwa Jesu semuchinda. Akapembererwa saMambo.
ZAKARIA 9:9 Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu, tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.
Mufananidzo unotevera ndizvo zvatinowana kuna Larkin, Scofield nevamwe vadzidzi veBhaibheri vakawanda nevafundisi.
Zvichibva kwavari vhiki raDanieri rechi 69 rakapera nekufa kwaJesu, vachisiya vhiki rechimakumi manomwe senguva yeKutambudzika kukuru.
Aya mazuva aLarkin akashandiswa nehama Branham pamharidzo iyi “Vhiki raDanieri rechimakumi manomwe”.
Asi pano taane mhikisano sezvo hama Branham vakashandisa mazuva maviri, AD 30 na AD 33 pakutsanangura Svondo yeMichindwi nezuva rePentekositi apo mazuva aya akapatsanurwa nemazuva 57 chete.
53-0607E A KUPUPURA
Petro achitaura, musoro wenyaya ndiJesu Kristu. Nguva igore AD 33, pazuva rePentekositi apo Mweya Mutsvene wakadururwa pamusoro pavo.
Hama Branham vakaisa kuberekwa kwekereke mugore 33 AD pazuva rePentekositi.
Izvi zvinopokana negore 30 AD raakataura atora kuna Larkin, sezvo Jesu akafa vhiki rimwechete rakaitwa Svondo yeMichindwi.
Mumharidzo yeChisimbiso chechitanhatu hama Branham vakataura nezvegore AD 30.
63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU
… Akagara pamusoro ... pegomo ... reMiorivhi, vadzidzi vake vakauya kwaari vari voga, vakati, tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichava riini? ... Chiratidzo chekuuya kwake chichava chiiko, uye chiratidzo chekuguma kwenyika? Mavhesi matatu aya, zvakaitika musi weChipiri masikati, 4 Kubvumbi AD 30.
Asi mumharidzo yavakazoparidza hama Branham vakati kereke, yakatanga Musi wePentekositi, yakatangwa mugore AD 33.
65-0815 ASI HAVANA KUZIVA.
Kereke yaKristu, yakatangwa muna AD 33.
Saka, Kristu akafa here muna AD 30 kana kuti AD 33.
Akataura pamusoro pemisi miviri iyi yese.
Kana muchida mhinduro yechokwadi hamugoni kushandisa zvamakabata paitaurwa zvinorwisana.
Munofanira kuronda nhorondo yezviitiko muMagwaro.
Zvino, tarirai kuti hama Branham vakashandisa sei mazuva aya ese, AD 30 na AD 33, mumharidzo imwechete.
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Jesu akapinda muJerusarema musi weSvondo yeMichindwi A.D. 30. Zvino, zvino, kubva muna B.C. 445 kusvika muna A.D. 30 pane makore 475.
Asi sezvo tazviona kare kuti mavhiki 69 anoita makore 483 ... zvino, ndipo panouyira dambudziko, ipapo. Mazviona? Tingori nekutaura kweBhaibheri pano, nguva, makore 475 chete, apa makore 483, musiyano wemakore masere.
Zvino, Mwari haangashaishi. Kana akati zvichava mazuva akati, anenge ari mazuva iwayo. Kana akati mazuva akati, mazuva iwayo. Saka tichaita sei? Zvino, B.C. 475 kusvika gore AD 30 makore aJurio kana kuti ekarenda rakagadziriswa rechihedeni, ane mazuva 365 ¼. Asi kana tikagadzirisa mazuva aya kumaisa mukarenda rechiprofita. [makore emuBhaibheri emazuva 360].
Zvino, rega ndimbomirira pano kwechinguvana. Kuti munogona kuziva zvichibva pabvuri rekupokana, handisi kuzotora nzvimbo imwechete iyoyo. Ndinogona kuriwana muMagwaro ese ndokuratidzai kuti mazuva manomwe makore manomwe muBhaibheri. Ndakatozviita pano kuna Zvakazarurwa Chitsauko chechi 11 vhesi 3. Maprofita achaprofita mazuva 1260, anova pahafu yevhiki remaJuda rekupedzisira. Vanobva vabviswa Amagedhoni yotanga. Saka kana zvakadaro, anenge ari mazuva makumi matatu pamwedzi. Mazviona? Anenge asiri mazuva 31 kana mazuva 28 nemamwe akadaro; anenge ari mazuva 30 pamwedzi zvakakwana zvakadaro.
[Pano akatevera zvakataurwa naLarkin anotenda munguva yeKutambudzika yemakore manomwe.
Hama Branham vanotaura kuti maprofita maviri anobviswa pakati pemakore manomwe enguva yeKutambudzika.]
Karenda redu rechiprofita rinotipa mazuva 360 sekushandisa kwatinoriita muMagwaro. Tine 483 akakwana. Pano tine rutsigiro rwechiprofita, chokwadi chaicho. Nekuti kubva panguva yekuenda kunovaka Tembere kusvika pakuparadzwa kwayo ... kana kuti pavakaramba Kristu vakamuuraya muna AD 33 Kristu paakaurayiwa pane makore 483.
Hamugoni kusimbisa kutenda kwenyu nezvakataurwa nemunhu. Kristu haagoni kuva akafa muna AD 30 uyezve muna AD 33.
Murairo wekuvaka Tembere wakapihwa makore akapoteredza 538 BC kuvaka kuchibva kwatanga makore akapoteredza 536 BC.
Murairo “wekuvakazve Tembere” waive usina chekuita nemavhiki aDanieri makumi manomwe. Kukanganisa ikoko.
Uyu handiwo musi wakatanga mavhiki makumi manomwe kana makore 490.
Murayiro chaiwo wakarayirwa kuti vavake masvingo nemigwagwa wakapihwa muna 446 BC.
Mune zvakataurwa zvinotevera kusanganiswa kwemurayiro wekuvaka Tembere (538 BC) nemurayiro wekuvaka masvingo eJerusarema nemasuwo aro (446 BC).
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Nekuti kubva panguva yekunovakwa kweTembere kusvika pakuparadzwa kwayo, ... kana kuti pavakaramba Kristu vakamuuraya muna AD 33 – apo Kristu akaurayiwa aive makore 483. Zvino, kubva pamurayiro wekuvakazve Jerusarema wakaiswa mavhiki manomwe, zvinoreva kuti makore makumi mana nemapfumbamwe, makore makumi mana nemapfumbamwe anoringana. Zvakanaka kubva pakuvakwazve kweTembere kusvika pakuuya kwaMessiasi aive makore 438, saka makore 434, mamakore 434 kupeta ka 49 tinoburitsa makore 483.
Tarisai kukanganisa kuripo “434 kupeta ka 49 tinoburitsa makore 483”.
Izvi zvinoda kugadziriswa. “ kupeta ( x )” kunoda kugadziriswa kwonzi “kusanganisa (+)”.
434 + 49 = 483 434 x 49 hatiburitsi 483. 434 + 49 = 483.
Rimwe dambudziko.
Mumharidzo mavhiki aDanieri makumi manomwe hama Branham vakashandura maonero avo kubva panguva yeKutambudzika yemakore matatu nehafu vachinotenderana netsika dzekereke dzemakore manomwe eKutambudzika kukuru.
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
... Apa makore manomwe asara – kamwechete makore manomwe, pachinzvimbo mazuva manomwe, makore manomwe, zvinonyatsoburitsa chaizvo zvinotaurwa nemagwaro.
… Vhiki rechimakumi manomwe rinotanga rini? Panogurirwa kereke yake. Mwari odzokera maJuda.
… Zvino, Mwari achatanga rini vhiki ravo rekupedzisira?
… Tinoziva kuti tiri pamagumo enguva yevaHedeni, pakasara rimwe vhiki remaJuda. Ndizvo here? Ndiwo makore manomwe.
… Pakati pevhiki, pakati pevhiki remaJuda (Mazviona?), ndiwo makore matatu nehafu. Antikristu, muchinda, muchinda achauya... rangarirai, anobva kuRoma.
… Akaita sungano navo, pakati pevhiki rechimakumi manomwe, antikristu anoputsa sungano yake nemaJuda, “vanhu venyu.”
Mumashure memazuva matatu nehusiku hutatu, mweya wehupenyu uchauya mavari, vachamutswa vopinda mukubwinya. Chegumi cheguta chinowira pasi nguva iyoyo. Ndizvo here? Mazviona? Ndicho chii ichocho? Pakati pemakore makumi manomwe ekupedzisira aya. [gadziriso: makore manomwe ekupedzisira]
... Zvino tarirai pano. Pakati pevhiki, mazuva matatu nehafu – makore matatu nehafu, pachinzvimbo, anoputsa sungano ogumisa chibairo chavaive vagadza kare.
[Izvi zvinoreva kuti kunamata kwemaJuda muTembere kwaive kwatanga. Saka zvinotaura kuti Tembere yaifanira kuvakwa patsva]
… ‘Nekuti vachadzokera vonoti, “Zvino, tarirai, mose muri makereke; munotambirwa mumufananidzo uyu kuchikara.
… Asi zvino tarirai. Akagadza akagadza izvi – kunamata mazuva ese – chipiriso chichadzoka muguta kana Tembere yavakwazve. Muchinda achauya uyu pakati pevhiki achaputsa sungano yake obvisa chipiriso sezvandareva, achachiparadza, zvaachaita zvinogara kusvika pakuparadzwa.
[Pano vakati Tembere ichavakwazve]. [Sungano inoputswa pakati pevhiki].
… “Ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, vachaprofita mazuva chiuru chinemazana maviri nemakumi matanhatu.” Mangani, mazuva anechiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu (1260)? Makore matatu nehafu. Ipapo vachaurawa mumigwagwa, pakati chaipo pevhiki rechimakumi manomwe iri.
Asi mubhuku “Revelation of the Seven Seals” (Zaruriro yeZvisimbiso Zvinomwe”) hama Branham vakataura vachiti kwasara hafu yevhiki makore matatu nehafu.
63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
Munoona maJuda atanga kubukira parizvino, kana Israeri ikatanga kudzokera, kunogara kunyika kwavo, pavanokwana vese vaako, kereke inenge yagadzirira kukwira kudenga mukubwaira kweziso, kunenge kwasara makore matatu nehafu chete kuti nyika iparare,
... MaJuda, vakasarudzwa vakadanwa munguva yemakore matatu nehafu ekupedzisira emavhiki makumi manomwe aDanieri.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Akaita sungano iyi nemaJuda, pakati pemakore matatu nehafu, akaputsa sungano paakangopedza zvaaida akasunga mari yemaJuda.
[Apa akutaura kuti sungano yakaputswa pakati pemakore matatu nehafu.
Anotaurawo kuti isungano munezvemari nekuti maJuda anotonga musika wemari. Kwete sungano yemuTembere.]
… Kristu akaprofita kwemakore matatu nehafu, makore matatu nehafu haasati ashanda kwavari. Ndizvo here? Muchinda uyu munguva iyoyo ariko kuita sungano nevanhu vaDanieri, vanova maJuda.
63-0116 MUTUMWA WENGUVA WEMADEKWANA
Tarirai, kana kereke yevaHedeni ichifanira kutanga kutorwa, kumaJuda, kuguma kwemavhiki makumi manomwe aDanieri kunobva kwaitika. Makore matatu nehafu akaprofitwa naMessiasi, achibva agurirwa panzira, Muchinda, pakati pevhiki rechimakumi manomwe. Uye, ipapo, panenge paane mavhiki matatu nehafu anenge asara.
63-0324M MIBVUNZO NEMHINDURO PAZVISIMBISO
MUBVUNZO: Hama Branham ndaona muri kutaura pamusoro pemavhiki aDanieri makumi manomwe pamharidzo yeChisimbiso chekutanga. Ndinonzwisisa pakaseti raDanieri apo Evangeri rinodzokera kumaJuda, mavhiki makumi manomwe [gadziriso: vhiki rechimakumi nanomwe] rinobva ratanga. Pane vhiki rimwechete, makore manomwe, akasarira maJuda, kana kuti kune hafu yevhiki rimwechete, makore matatu nehafu akasarira maJuda?
MHINDURO: Hafu yevhiki chete: Jesu akaprofita hafu yevhiki yekutanga, sezvakafanoprofitwa, hafu imwechete chete ndiyo yavasara nayo.
63-0324M MIBVUNZO NEMHINDURO PAMUSORO PEZVISIMBISO
MUBVUNZO: Hama Branham, makati Roma ichatora hurumende yemaJuda pamakore matatu nehafu ekupedzisira. Ndiwo achava makore matatu nehafu ekutanga enguva yeKutambudzika kana kuti makore matatu nehafu ekupedzisira? Ndizvo here izvi?
MHINDURO: Achave makore matatu nehafu ekupedzisira (ndizvo chaizvo.) kwete makore matatu nehafu ekutanga, ‘nekuti akatopfuura.
… Zvino, zvino, pachidimbu chekupedzisira, vhiki rechimakumi manomwe, chidimbu charo chekupedzisira chichave nguva yeKutambudzika, mumashure mekutorwa kwekereke kukwira kudenga. Kuchave nemakore matatu nehafu azvichazadziswa kwavari nemaprofita (mazviona?), Mosesi naErija: Zvakazarurwa 11.
Saka, kune makore manomwe here kana kuti makore matatu nehafu asara?
Hamugoni kugadzirisa nyaya iyi muchishandisa zvakataurwa nevanhu sezvo hama Branham vakataura zvese zviri zviviri.
Zvakare, kana muchida chokwadi, munofanira kuronda mazuva mumagwaro.
Mhinduro inowanikwa yakajeka, kwakasara makore matatu nehafu.
Saka mumharidzo yemavhiki makumi manomwe aDanieri vakabata kutaura kwaLarkin nezuva rekuti chiitiko chepaCalvari chakaitika muna AD 30 uye kuchauya nguva yeKutambudzika ine makore manomwe. Nguva idzi dzese handizvo.
Mumharidzo Mavhiki makumi manomwe aDanieri ndimo zvakare makataura hama Branham kuti Tembere ichavakwazve munguva yeKutambudzika.
Iyi ndeimwe dzidziso yaakatora kudzidziso dzaLarkins.
Saka munofanira kusarudza kuti kutaura uku kwakanaka sei uye kunoshanda papi.
64-0830M MIBVUNZO NEMHINDURO. 3
MUBVUNZO: Hama Branham, pamakapa mharidzo pamusoro peMavhiki aDanieri makumi manomwe, ndinotenda kuti makataura kuti vhiki rekupedzisira kana kuti makore manomwe achatanga kana Mwenga atorwa kukwira Kudenga mukubwaira kweziso (Repucha).
MHINDURO: Kwete, kwete, kwete, kwete, kwete, kwete, bodo, bodo. Makakanganisa ipapo (Mazviona?), kwete vhiki rese. Vhiki rakatanga apo Jesu akauya panyika.
Akati, “Messiasi, Muchinda, achauya achiprofita, pakati pemavhiki manomwe [gadziriso: vhiki rechimakumi manomwe], achagurwa.” Jesu anoparidza makore matatu nehafu akakwana, hafu yemavhiki manomwe [gadziriso: vhiki rechimakumi manomwe], mazuva manomwe, mazuva evhiki. Mazviona? Kunobva kwasara makore matatu nehafu.
Vhiki rechimakumi manomwe rine mazuva manomwe kana kuti makore manomwe. Hafu yakatoshanda mukati menguva yehushumiri hwaJesu.
Jesu akabapatidzwa gore AD 30 risati rasvika achibva afa mugore 33 AD.
Iyi ndiyo yaive hafu yekutanga yevhiki rechimakumi manomwe. `
64-0830M MIBVUNZO NEMHINDURO. 3
Zvino, Mosesi naErija pavachauya panyika, sezvazvakataurwa kuna Zvakazarurwa nekuna Zakaria. Apo Zakaria 4 naZvakazarurwa 11, miorivhi miviri nezvimwe zvakadaro – Mosesi naEria pavanouya panyika vanoprofita mazuva 1264 [gadziriso: mazuva 1260]. Chimbori chii? Makore matatu nehafu akakwana. Chingori chinhu chimwechete.
… handina kubvira ndatenda kuti mavhiki makumi manomwe ese [gadziriso: vhiki rechimakumi manomwe] richasvika. Messiasi ogurirwa panzira. Vangani vanorangarira izvi ndichiparidza pano? Chokwadi. Mazviona?
Pano hama Branham vakaramba kuti vhiki rese remazuva manomwe kana makore manomwe richasvika.
Asi ndizvo zvavakataura mumharidzo mavhiki aDanieri makumi manomwe.Saka vaive vachingotora zvakataurwa naClarence vachizviparidza pamusoro pemakore manomwe eKutambudzika kukuru. Kwaive kusiri kutenda kwavo ivo. Kwaive kutenda kwaLarkin. Makereke mazhinji vanotenda tsananguro yaLarkin yemakore manomwe enguva yeKutambudzika.
Kukanganisa kwehama Branham kwaive kwekubata kutaura kwaLarkin pachinzvimbo chekutsanangura zvavo zvavanotenda mazviri.
Hakuna vhiki rechimakumi manomwe kana kuti nguva yekutambudzika kukuru yemakore manomwe pakupedzisira. Sekutenda kunoita vemakereke mazhinji.
Asi Larkin ndiye akataura kuti Tembere ichavakwazve munguva yeKutambudzika kukuru. Hama Branham vakangobata zvakataurwa naLarkin vakazvidzokorora.
Kwaive kumwe kukanganisa here?
Tinobva tasvika pane kumwe kukanganisa kukuru pakumira kwemazuva kwavakatora kubva pakutaura kwaArchbishop Usheer vekuIreland.
Zvakatanga nemazuva akataurwa naUssher pakudaidzwa kwaAbrahama. Zuva iri rakaoma kwazvo kuti urinange munhorondo.
1961-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Kubva panguva Mwari paakaita sungano naAbrahama, (musapotse izvi.) -- kubva nguva apo Mwari akaita sungano naAbrahama, Genesisi 12:3, kusvika nguva yakarambwa Kristu nemaJuda muna AD 33, sekutaura kwavaGaratia 3:16 na 17, uye zvichibva kuna Ussher (U-s-h-e-r-s) zvinyorwa zvaUsher zvechiHeberu, simba raMwari raive nemaJuda kwemakore 1954. Mwari akashanda nemaJuda makore 1954 zvichibva muzvinyorwa zvemaJuda uye kubva pana vaGaratia 3:16 na 17.
[usher akanyorwa kuti kudaidzwa kwaAbrahama kwakaitika gore rinenge 1921 BC. Jesu akafa muna AD 33. 1921 + 33 = 1954]
Zvino, tichiverenga nguva, tinoona kuti tine (tererai.) makore makumi manomwe asara, uye tichava nenguva yakareba saizvozvo yatichapihwa naMwari achishanda nesu musimba reMweya Mutsvene kubva muna AD 33 kusvika 1977, nguva yakafanana neiyi pakureba yemakore 1954. Mwari anoshanda nesu sezvaakaita nemaJuda.
[33 + 1954 = 1987 saka zuva ra1977 raive risina kufanira. Kwaive kukanganisa kwakaitika pakusanganisa mazuva.
Kusvika apa vanotenda kuMharidzo vaingotevera zvakataurwa vasingatarisi kana zviri zvechokwadi.
… Akaita sungano naAbrahama yaisvika pakurambwa kwaMessiasi AD. 33, aive makore 1954.
Pano hama Branham vakashandisa AD 33, kwete AD 30. AD 33 ndiro gore chairo rechiitiko chepaCalvari.
AD 30 ndiro rinenge raive gore rakabapatidzwa Jesu. AD 33 ndiro gore raakafa.
Ngatiedzei kuita fungidziro tichiongorora gore 1921 BC.
Soromoni akatanga kutonga gore rinenge 970 BC sekutaura kwevanhu vazhinji venhorondo. Iri igore rekufungidzira.
Davidi akatonga kwemakore makumi mana. Sauro akatonga kwemakore makumi mana. Vatongi vakatonga kwemakore 450.
MABASA 13:20 Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri.
MaJuda vaive murenje kwemakore makumi mana. MaJuda vaive muEjipita makore 430 (makore makumi matatu mumashure mekufa kwaJosefa apo Josefa aive achiri kurangarirwa nekuremekedzwa. Kwozoita makore makumi mana avakatambudzwa vave varanda).
GENESISI 15:13 Akati kuna Abhuramu, "Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;
EKSODO 12:40 Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muEgipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu.
40 + 40 + 450 + 40 + 430 = makore 1000 kubva pakufa kwaJosefa kusvika pana Soromoni.
(Tichisiya kunze nguva yekutapa nyika yeChipikirwa kusvika pakufa kwaJoshua nevakuru vese)
Kudanwa kwaAbrahama kusvika pakuzvarwa kwaIsaka = 100 – 75 = makore 25.
GENESISI 12:4 Naizvozvo Abramu wakaenda sezvaakaudzwa naJEHOVA; naRoti wakaenda naye. Abramu wakanga ana makore ana makumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.
GENESISI 21:5 Abrahama wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakabereka mwanakomana wake Isaka.
Isaka aive nemakore makumi matanhatu pakaberekwa Jakobo.
GENESISI 25:26 Pashure munun’una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobo. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
Jakobo aive nemakore 91 pakaberekwa Josefa.
Zera rinotevera harina chokwadi chakajeka.
GENESISI 41:46 Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weEgipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeEgipiti.
Josefa akaprofita makore manomwe emagutwa nemakore manomwe enzara.
GENESISI 41:47 Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji, namakore manomwe amaguta.
48 Akaunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeEgipiti, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, akazvivigamo.
Nguva yakapera makore manomwe emagutwa, Josefa aive ava nemakore 30 + 7 = 37.
GENESISI 41:29 Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeEgipiti;
30 Shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeEgipiti; nzara ichapedza nyika;
Mumashure mekutanga kwenzara, vakoma vaJosefa vakauya kuEgipita kunotsvaga chikafu. Josefa akati kwaive kuchiri nemakore mashanu enzara.
GENESISI 45:11 Ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo,
Saka makore maviri enzara aive adarika, saka Josefa aive ava nemakore 37 + 2 = 39.
Vakoma make vakadzokera kunnotora baba vavo, ivo vakazouya vakamira pamberi paFarao vachiti vaive nemakore 130 ekuberekwa.
GENESISI 47:8 Farao akati kuna Jakobo, "Manganiko mazuva amakore ovupenyu hwenyu?"
9 Jakobo akati kuna Farao, "Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore ovupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore ovupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo."
Saka Jakobo aive nemakore 130 Josefa paaive nemakore 39.
Saka Jakobo aive nemakore 91 pakaberekwa Josefa.
Josefa akafa ava nemakore 110. makore 30 mumashure mekufa kwake maJuda akatanga kurwadziswa nekutambudzwa.
GENESISI 50:26 Ipapo Josefa akafa, ava namakore ane zana negumi; vakamusasika, akaiswa mubhokisi paEgipiti.
25 + 6o + 91 + 110 = 286
Mazuva aya tikamasanganisa anosvika makore 286.
Saka kubva pakudaidzwa kwaAbrahama kusvika pana Soromoni panoita makore anoda kukwana 286 + 1000 = makore 1286 echiJuda makore 70 ega ega emuBhaibheri anoburitsa makore 69 ekarenda revaHedeni, saka mukabvisa makore 1286/70 = makore 18.
1286 – 18 = 1268 makore evaHedeni kubva pakudanwa kwaAbrahama kusvika pana Soromoni.
Kubva pakudaidzwa kwaAbrahama kusvika pakuzvarwa kwaJesu aive makore anoda kusvika 1268 + 970 = 2238 makore evaHedeni saka Abrahama akadaidzwa makore anodarika 2200 akadarika.
(Uku kusanganisa mazuva kwekufungidzira kunobvisa nguva yekutapa nekugara muNyika yeChipikirwa asi zvinoisa mazuva aAbrahama pamakore akapoteredza 3 00 gore 1921 BC risati rasvika. Saka mazuva aUsher aakati Abrahama akadanwa muna 1921 haasi echokwadi. Saka kushandisa mazuva aya kufungidzira gore 1977 hakusiko.
61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
… Raive gore 1933. Ndikafungidzira kuti kuchaitika chiitiko chakaipa kwazvo munyika yeUnited States negore 1977. Vangani vacharangarira ndichitaura izvozvo?
Saka zvaisashamisa kuti United States haina kuparadzwa mugore 1977.
Saka kukanganisa kwakati kuti kwakaitwa mumharidzo iyi yeMAVHIKI ADANIERI MAKUMI MANOMWE.
Yaive mharidzo iyi apo hama Branham vakataura kuti Temberi ichavakwa zve.
Akabata kutaura kwaLarkin achiti chiitiko cheSvondo yeMichindwi chakaitika gore AD 30. Uku kwaive kukanganisa.
Akabata kutaura kwaLarkin kwenguva yeKutambudzika yemakore manomwe. Kwaive kukanganisa zvakare.
Akataura zvakare zvakataurwa naUsher pagore 1921 BC kuti ndipo pakadanwa Abrahama. Kwaive kukanganisa zvakare.
Akaita kukanganisa kwemanhamba paakaverenga kusvika abuda negore 1977. America haina kuparadzwa nekuputika.
Akati Jesu musi weSvondo yeMichindwi akatasva bhiza. Hazvisizvo. Akatasva Mbongoro.
Akabata kutaura kwaLarkin kwekuti Tembere ichavakwazve munguva yeKutambudzika kukuru. Kukanganisa zvakare here?
Saka Tembere yemaJuda ichavakwazve here munguva yeKutambudzika?
Uyu mubvunzo wakaoma kwazvo kupindura sezvo tichiziva zvishoma kwazvo pamusoro penguva yeKutambudzika. Kune zvakawandisa pamusoro penguva yeKutambudzika zvatisingazivi.
Tinofanira kungwarira. Kukanganisa kuduku duku kana kukanganisa kuturikira kunogona kukudza kwokonzeresa chitendero chisicho.
Vanhu vanopinda munataisireva nekuda kwekutenderana nezvinhu zvisizvo. Vanoona zvavanoda kutenda mazviri vofuratira humwe humbowo hwese.
Muchikamu chechipiri tichatarira magwaro akati kuti akataurwa nezvawo nemakereke vachiti ndiwo anotaura pamusoro pekuvakwazve kweTembere munguva yeKutambudzika.
Tichaita ongororo kuti tione kana vakaturikira Magwaro iwayo zvakanaka.