Rumhinda weShato wakakweva nyeredzi dzokudenga ndokudzikandira pasi
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Shato ndiSatani achishandisa Roma kuuraya Jesu nekukweva maJuda kubva pakudanwa kwawo kwaakaitwa neDenga.
First published on the 13th of April 2024 — Last updated on the 13th of April 2024Jesu akarambwa ari Munhu ikozvino zvakare ari kurambwa ari Shoko raMwari
ZVAKAZARURWA 12:3 Ipapo Kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira Shato huru tsvuku, ine misoro minomwe,nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe.
4 Rumhinda rwayo rwukakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga ndokudzikandira pasi, panyika.
Rumhinda (muswe) mucherechedzo wenyaya kana nhema dzinotaurwa naSatani dzisimo muMagwaro.
Mwari vanoona rudzi rwevanhu mumapoka matatu kana ndudzi dzevanhu. MaJuda, vaHedeni nevaSamaria musanganiswa wemaJuda nevaHedeni.
Chetatu hachisi chiverengo chevanhu. Rudzi rwevanhu, maJuda.
Satani akaparidza nhema dzake dzezvitendero zvisimo muMagwaro nezvematongerwo enyika kumaJuda. Vakapofomadzwa neruvengo rwavaive narwo nevaRoma. Satani akanyengera maJuda kupfurikidza vatungamiri vezvitenderi zvavo vaive vakazadzwa nerudo rwekuita Mari muTemberi. (Izvi zvinokuyeuchidzai here pamusoro pekereke nhasi?)
MaJuda vakanyengerwa kwemakore mazhinji nevatungamiriri vezvitendero. Mukati memakore akati kuti, kurasika munezvechitendero kwaive kwavakwevera pasi kuva pakudanwa kwavo vari rudzi rwaMwari (Vatungamiri vemakereke nhasi, pasi pekumanikidza kwezvematongerwo enyika, vakutendera kuroorana kwevanhu varume nevarume uye vakadzi nevakadzi zvinorambwa neMagwaro). Ndicho chikonzero nei maJuda vasingaoni Jesu saMessiasi wavo. MaJuda havachina muono weDenga sevanhu vakasarudzwa naMwari. Vaive vakukoshesa kuita-mari muTemberi nekutenderana neRoma yemapegani. (Torai Kisimusi isimo muMagwaro pazuva rakaberekwa mwari wezuva wemapegani musi wa 25 Zvita). Jesu akadzinga vaiita-mari muTemberi musi weSvondo yeMichindwi nezuva rakatevera racho, Muvhuro. Akanga adarikira mwero.
Musafe makapindira pamari dzevatungamiriri vemakereke.
Saka, vakamuuraya musi weChina nekuroverera Messiasi wavo ari nemakore 33 chete. Zvakafanana naJona, Jesu aifanira kuita husiku hutatu muguva. China husiku, Chishanu husiku, Mugovera husiku. Akava amuka Svondo mangwanani. (Hapana kumotaurwa nezve “Chishanu chakanaka” muBhaibheri. Kana Kisimusi. Kana 25 Zvita. Kana muti weKisimusi. Kana kunzi tipemberere kuzvarwa kwaJesu. Asi Kisimusi ndiyo nguva inoitika mari zhinji mumabhizimisi pagore. Nhorondo iri kudzokorora here?
MaJuda vakapokana naJesu ari Munhu. Kereke nhasi inopokana naJesu ari Shoko raMwari.
MaJuda vakapfurikidza mwero nekuramba Jesu. Zvekuti Mwari akasvika pakumira kushandisa chiHeberu akatanga kushandisa chiGiriki muTestamente Itsva. ChiHeberu chakakwevewa kubva pakuva chitauro chedenga chikatsiviwa nechiGiriki.
Makereke anoti ndicho chetatu chevatumwa, mukuverengwa, vakanyengerwa pakutanga naSatani apo Satani akamukira Mwari. Asi Satani haana simba kuna Mwari, saka kana akawana chetatu chete chevatumwa kurutivi rwake haaimbofungira kuti anokurira hondo naMwari akasimba aive nezvetatu zviviri zvevatumwa kurutivi rwake kusaziva Bhaibheri kwakura mukereke.
Bvunzai vanhu vekukereke nei Mwari asina kubvira ataura kuti zuva repiri raive “rakanaka” kuna Genesisi Chitsauko 1. Havazivi.
“Madekwana nemagwanani ndizvo zvaive zuva rekutanga”.
Kutaura kwakadzama uku kunodzokororwa katanhatu kuna Genesisis Chitsauko 1, pakupedzisira kwezuva rimwe nerimwe, kunze kwezuva rechinomwe. (Nei zuva rechinomwe rakasiiwa?)
Nei husiku husina kutaurwa? Nei masikati asina kutaurwa?
Kudzokorora chinhu katanhatu kukoshesa chinhu kukuru. Mwari ari kutiyambira pamusoro pei?
Kusaziva Bhaibheri kwakadzikisira kereke. Havazivi uye havana hanya. Vanotamba chamuhwande hwande nemibvunzo vozongoifuratira yakadaro.
Iri ringori peji rekutanga reBhaibheri.
Mumwe mubvunzo. Mwari akaita zuva zuva rechina. Saka, chiedza chakabvepi zuva rokutanga?
Kereke hainzwisisi Magwaro zvachose.
Asi Danieri akati vakachenjera vachanzwisisa. Saka, hatina chikonzero chekuti tirarame mukusaziva.
DANIERI 12:10 … Asi vakachenjera vachanzwisisa.
Saka, vasikana vakachenjera varipi vekuna Mateo Chitsauko 25? Mukadzi mucherechedzo wekereke. Musikana mhandara mukadzi akachena, mucherechedzo wevanhu vakaponeswa.
Vose vaive vakakotsira vakamirira mhere yekumutswa. Painouya (Denga ritibatsire) vachaudzwa kuti vabude . Vabude mumakereke avo mavaivaraidzwa vachinyengerwa pamwechete.
MATEO 25:1 Zvino vushe bwokudenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo, vakauda kundochingamidza chikomba.
2 vashanu vavo vakanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.
3 Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.
Mafuta anopiswa kuti atipe mwenje. Mafuta mucherechedzo weMweya Mutsvene. Chiedza chinovagonesa kuverenga Bhaibheri vachinzwisisa.
MATEO 25:4 Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.
Mweya Mutsvene wega ndiwo unogonesa kuti tinzwisise Magwaro.
JOHANE 16:13 “Asi kana asvika, Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake;”
Kana tiine Mweya Mutsvene hatingazvikoshese. Nei?
Kuda kwaMwari ndekwekuti tidzorerwe kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemapostora.
Mwari vakatumira William Branham ari muprofita wenguva yekupedzisira kuti aite kuti tinzwisise zvakatendwa nekereke yeTestamente Itsva.
MATEO 17:11 Akapindura (Jesu) akati: Eria uchavuya hake avandudze zvinhu zvose.
Kuita mabasa emweya akanaka hakutsivi kudzidza kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro.
MATEO 7:21 Havazi vose vanoti kwandiri; Ishe, Ishe, vachapinda muvushe hwekudenga; Asi unoita kuda kwaBaba vangu vari Kudenga.
22 Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe; Ishe; hatina kuprofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?
23 Zvino ndichavavudza pachena: Handina kutongokuzivai, ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurana.
MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakakotsira vose vakavata.
26 Pakati povusiku vakanzwa mhere mhere: Chikomba chovuya! Budai mumuchingamidzei.”
Nguva yechinomwe uye yekupedzisira yekereke yeRaodikia Kristu ari kunze kwekereke achigogodza. Achiedza kutaura nevanhu vakazvimiririra vari mukati, kwete kutaura nekereke yese. Kristu iShoko raMwari. Bhaibheri reKing James Vhezheni rinoshoropodzwa richishandurwa zvisina magumo nhasi uno riri kurambwa sezvakaitwa Jesu makore 2000 akadarika.
Vanhu havadi kushanda nesima kunodiwa kuti vanzwisise zvakavanzika zveBhaibheri.
Ndapota tarirai kuti Jesu akamira kunze kwemukova wekereke, kwete kunze kwemukova wemutadzi.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova: ndichigogodza; kana munhu akanzwa izwi rangu akazarura mukova, ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye neni.”
Akataura pamusoro penguva yekereke yekupedzisira achiti yaive marutsi.
ZVAKAZARURWA 3:16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
Kusatenda mavhesi eBhaibheri reKing James kuroverera Kristu pamweya mumazuva edu anhasi. Kusatenda ndiko chivi chikuru.
DANIERI 12:4 Asi iwe Danieri, vanza mashoko, unamire Bhuku nechisimbiso; kusvikira kunguva yokupedzisira: vazhinji vachamhanya pose pose, nezivo ichawanda.
Vanhu vanomhanya mhanya muzvifambiso zvanhasi. Intaneti yawedzera zivo zhinji. Zvinoreva kuti tava munguva dzekupedzisira.
Mwari vakavimbisa kuti Bhuku richasimbiswa kusvika nguva yekupedzisira.
Zaruriro yeZvisimbiso Zvinomwe yekuna Zakazarurwa Chitsauko 6 zvakapihwa kuna William Branham muna 1963 ari muprofita wenguva yekupedzisira kuvaHedeni.
Bhuku rakasimbiswa rakanyorwa rakazarurwa kuti tigone kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri.
Nekudaro Mwari vanotarisira kuti tinzwisise zvakavanzika zvakavanzwa muBhaibheri reKing James.
Kana tiri vasikana vakachenjera.