Njiva yaNoa
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Mumashure memvura zhinji yaNoa Mwari akasarudza kushanda nemaJuda kwemakore 5000. Zvakaratidzwa naJesu achipa zvekudya maJuda 5000.
First published on the 15th of March 2025 — Last updated on the 15th of March 2025Mwari akashanda nemaJuda kwemakore 5000
Chekutanga, vaive munyika yechipikirwa kwemakore 2000 muTestamente Yekare kusvikira varoverera Messiasi, achibva atendeukira kuvaHedeni.
Chechipiri, kwemakore anoda kuita 2000 munguva yemakereke manomwe, maJuda ndiwo aive davi rakatyoka rakapinda Denga kune vakaurayirwa kuva maJuda.
Zvino, pamagumo enguva yemadekwana nguva yekereke yechinomwe, maJuda anodzoka kubva kurufu rwemweya apo vanobukira, uye maJuda 144,000 vanosangana naKristu mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika.
Chechitatu, chetatu chemaJuda anorarama munguva yeKutambudzika Kukuru neAmagedhoni vanoguma vamumakore 1000 eRugare apo Jesu anogadza hushe hwake panyika.
Hupenyu huno hwepanyika hunoguma.
Gungwa rinoputika nyika itsva yovapo.
Kupihwa chekudya kwevanhu 5000 ndicho chega chishamiso chakanyorwa mumabhuku mana ese eEvangeri.
Izvi mucherechedzo weZano raMwari rekushanda kwemaJuda kwemakore 5000.
Mwari akapa maJuda Israeri yeTestamente Yekare, minongedzo kana mimvuri weTestamente Itsva. Vakapihwa Chingwa cheHupenyu, Jesu, ari kuzadziswa kweTestamente Itsva asi vakamuramba, vakaramba kuparidza Kwake. Izvi zvinoratidzwa nemafufu enyama nechingwa (mucherechedzo wedzidziso) zvavakarasa. Vadzidzi vakanonga mafufu akaraswa kumaisa mumatengu gumi nemaviri. Izvi mucherechdzo wevadzidzi vachinyora Testamente Itsva yakarambwa nemaJuda. Zvino, pakupedzisira kwenguva nomwe dzemakereke, mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru, Testamente Itsva ichadzokera kumaJuda 144,000 vanobva mumarudzi gumi nemaviri eIsraeri. Vanozotonga nyika neMwenga mumakore 1000 eHushe hweRugare.
Ngationei kuti Noa akazadzisa sei nheyo dzeZano iri.
GENESISI 8:7 Akaburitsa gunguvo rikaramba richibhururuka bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika.
Nguva yechando chakaoma yakadarika yaive nguva yeMvura yaNoa. Mwari vakasairira nyika kure zvishoma nezuva kuiisa munzvimbo yakadzama inotonhora kwazvo. Zvinotsanangura kuti nei mamamothi ane mavhudzi emurwizi rweBeresovka rwekuRussia akaoma nechando munguva duku duku nemaruva nehuswa mumuromo mawo nemudumbu zvichiri kuonekwa.
Zvitunha zvemhuka dzakanyura zvaizowora zvishoma nezvishom muchando. Gunguwo rakafara rikabhururuka richidya zvitunha zvaive zvakuora.
Gunguwo mucherechedzo wekukanganisa pamweya kwakatipoteredza. Saka gunguwo harina kubvira radzokera kuchokwadi chaNoa.
Mvura mucherechdzo weruzhinji rwevanhu, marudzi nendimi dzakazadzwa nemafungu kana zvinangwa apo vazhinji vanotonga.
Kana mukangotanga nemazwi enyu asimo muMagwaro zvinobva zvaita dutu remazano evanhu nezviyera yera zvavo zvakatora maJuda
Kereke ikabva yaendawo kure kwazvo nezvakanyorwa. VaFarise nevaSeduse havana kubvira vataurwa muTestamente Yekare, asi vakaitwa vatungamiri vezvitendero zvechiJuda vakaramba Jesu, Shoko raMwari.
Jesu akapindura Satani akati, “Zvakanyorwa zvichinzi ...”
Saka ndapota tiudzei zvakanyorwa chete. Kana mukagona kutevera muenzaniso wake.
Kuimba nemimhanzi yakava kuratidzira kwekuzvikudza nekuzvitutumadza zvakafanana nemakereke eHillsong. Ngoma hadzina kumbotaurwa muBhaibheri. Kukanganisa kwakaitwa nevanhu kune mbiri uye kunorarama apo vanhu vanobva paMagwaro.
Tsika dzechipegani dzakafanana nenyama yakaora, asi dzinotifadza. Vanoenda kumakereke vanopemberera bhavhadhe ramwari wezuva weRoma yemapegani musi wa 25 Zvita. Bhaibheri harina kubvira rati tipemberere Kuzvarwa kwaShe. Chishanu chakanaka neMuvhuro weIsita, nemaIsita egi asimo muBhaibheri. MaIshita egi nemaIshita bhani aive emutambo wematsutso weBabironi wavainamata Ishita mwarikadzi wekubereka, muna Kurume. Waive mutambo wezvepabonde. Mwedzi mipfumbamwe yaizotevera muna Zvita mwana aizvarwa kuzvarwa kwake kopembererwa pakati penguva yechando. Kuroorana kwevanhu muchingochani chachinhu chiri kutenderwa nemakereke, vachitendera kurambana nekuroorwa kana kuroora zve asi zvakaipa. Kutenda muzvinhu zvisimo muMagwaro izvi zvakabva mutsika dzemaGiriki echipegani dzakafanana neTiriniti, Mwari Mwanakomana, Mwari Mumwechete muVanhu vatatu, Baba neMwanakomana vakaenzana, Baba neMwanakomana ndevekuita kumwechete, uye kuti Pasita ndiye musoro wekereke, nemazano echiPegani akaipisisa. Tinoita makunguwo emweya zviri nyore. Makereke anorasikirwa neZita raMwari vachiti, “Muzita raBaba reMwanakomana nereMweya Mutsvene” nekuti havazivi zita racho. Mwari wemitumbi mitatu weTiriniti weVanhu vatatu haana Zita nekuti hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu.
Makunguwo emweya anosvetuka kubva pazano risimo muMagwaro achienda pame rimwe pavanowedzera kushaiwa zivo pamusoro peMagwaro saka havazodzoke kuzotenda zvakanyorwa muBhaibheri reKing James Vezheni uye kuti rakarurama. Zvitunha zvechipegani zvaiwora zvaifadza kumaJuda nekune vanoenda kumakereke.
Saka, mapegani akatanga kupinda. Nimurodhi akagadza zvakavanzika zveBabironi pasi pehutongi hwechiPrista cheBabironi. Vaitongwa nemudzvanyiriri Pontiffi.
Nhasi, Pontiffi ndiye Pope. Ndiye ega mudzvanyiriri muEurope. Chipegani chaNimurodhi chararama makore 4000. musatarisire pasi mweya waantikristu wechipegani. Vaivepo kwenguva yakarebesa vakangwara.
GENESISI 8:8 Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari kuti aone kana mvura yanga yaserera panyika.
Njiva mucherechedzo weMweya Mutsvene. Rudzi rwaMwari rwakasanangurwa, Israeri, kuti rwumunamate rwuve muenzaniso pasi rese.
Mwari anotumira vaIsraeri vari pasi pehutungamiri Hwake Iye, Achishandisa muprofita. Asi vaida Mambo aizotonga ari mudzvanyiriri. Iye imbeu yetsika dzavaNikoraiti.
Kwemakore 2000 mushure meMvura yaNoa, Mweya Mutsvene waMwari waive pamusoro pemaJuda uri Baba. Shongwe yomoto.
Mvura dzevamwari vechipegani netsika dzechipegani dzakafukidza nyika apo Mwari aiedza kugadza Shoko rake muIsraeri nyika duku, nyike ine nzvimbo isingasviki hafu yepesendi rechiso chenyika pasi rese.
GENESISI 8:9 Asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwaayo ikadzokera kwaanga ari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose: akatambanudza ruoko rwake akaitora akaipinza kwaanga ari muareka.
Asi Mutemo wechiJuda hauna kugona kukurira mvura dzezvitendero zvechipegani. Tsoka dzenjiva hadzina kumira panyika.
Pamufananidzo waDanieri, tsoka dzaive dzakamiririra nguva nomwe dzemakereke. Ndidzo, nguva apo Mweya Mutsvene waive mukereke, kwete pamusoro pekereke chete. Chakavanzika chaive chisipo muTestamente Yekare chaive chekuti Mwari vaive vasiri mumoyo yemaJuda. Vaive Shongwe yoMoto pamusoro pavoo.
Asi muTestamente Yekare muguva dzeBabironi (Musoro) makore akapoteredza 600 BC, maMediani nevaPesia (chipfuwa nemaoko) maGiriki (Chiuno), maRoma echipegani (Makumbo), Mweya Mutsvene waMwari hauna kuwana zororo muIsraeri nepanyika yose, pasi petsoka dzake. Zororo yechokwadi izororo kubva kuzvivi. Izvi zvaizoitika chete mumasure meKalvari. MaJuda aive neTemberi, asi vaive vakawodzwa netsika dzeBabironi zvakavanzika uye Mari yayo.
GENESISI 8:10 Ipapo akagara mamwe mazuva manomwe zve, akabuditsa zve njiva paareka.
Testamente Yekare, ruponeso rwaive rwemaJuda. Asi pakupedzisira vakakundikana vakaroverera Messiasi wavo vakaraswa.
Zvisinei nezvinhu zvakanaka zvese zvakaitika muTestamente Yekare, kuramba kwavo Jesu kwaireva kuti maJuda vakarasikirwa zvakazara. Vaive vamedza mvura dzezvakavanzika zveBabironi Nemweya waantikristu wechipegani wakakura.
Mamwe mazuva manomwe anomiririra mamwe maZano aMwari, makore 2000 enguva dzemakereke mukati mawo chokwadi chemapostora chinorasika munguva dzeRima chozodzorerwa zvakare.
GENESISI 8:11 Njiva ikapinda kwaari madekwana akavona mumuromo mayo makanga munorushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; Naizvozvo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.
Madekwana enguva yekereke yechinomwe muprofita wechiHedeni wekuAmerica akadzorera chokwadi chekutanga chenguva yekereke yekutanga yemapostora.
Shizha remuorivhi mumuromo menjiva rinotaura pamusoro pehumbowo hweMweya Mutsvene uri mukati medu.
JOHANE 16:13 asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, achakutungamirirai kuchokwadi chese;
Mweya Mutsvene unozivisa zvakavanzika zveBhaibheri reKing James kuti vasikana vakachenjera vekuna Mateo 25 vanzwisise mavhesi eBhaibheri vagadzirire Kuuya kwaShe.
DANIERI 12:10 … Asi vakachenjera vachanzwisisa.
Magumo enguva yekereke yechinomwe chete (madekwana) ndipo panodzorerwa Chokwadi cheBhaibheri chakazara. Chokwadi cheBhaibheri chinenge chadzorerwa chinozoendawo kumaJuda 144,000.
Shizha remuorivhi ndiro chakavanzika. Ruvara rwemashizha rwaive rwaparadzwa nyika payaive yakafukidzwa nemvura. Mashizha manyoro haaingomera pakare muvhiki rimwechete. Saka, Mwari vaive vaita chishamiso. Chishamiso ichi mucherechedzo wechishamiso chanhasi chekudzorerwa kweIsraeri zvisinei ruvengo rukuru rwune mamwe marudzi nekurwis kwemaMoziremu nekuita kwavo kwakakosha asi kwechibenzi kwavanoita mumayunivhesiti ekuMadokero vanotuka maJuda zvisina Muganhu.
GENESISI 12:1 Zvino JEHOVA wakati kuna Abrama.
GENESISI 12:3 Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka ndichamutukavo; Marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.
Hakuna munhu anopikisa vaIsraeri nhasi achapinda muHushe hwemakore 1000 eRugare. Hakuna akavenga maJuda achapinda muMereniyamu.
GENESISI 8:12 Akagara zve mazuva manomwe akaburitsa zve njiva; Iyo haina kudzokera zve kwaari.
Zuva raMwari makore 1000.
II PETRO 3:8 Asi chinhu chimwe ichi ngachirege kusazikanwa nemwi, vadikanwi, kuti zuva rimwe kuna Ishe rakaita samakore ane churu, nemakore ane churu sezuva rimwe.
Genesisi 1 inotaura pamusoro pemazuva anoita makore 1000 akashandiswa naMwari kugadzira Nyika kuti vanhu vakwanise kurarama. Asi 7 chiverengo chekupedzisa. Saka chivi chakapinda imwe nguva muzuva rechinomwe Zano raMwari, Vhiki rake guru, harina kuzopedziswa.
Mereniyamu kana makore 1000 eRugare achava zuva rechinomwe reVhiki raMwari guru. Ndiyo Sabata yechokwadi. Zororo kubva kuzvivi apo Jesu anotonga nyika.
Noa akachengeta njiva kwerimwe vhiki kuti agoirega iende pakupedzisira, zuva rechinomwe. Zuva rechinomwe mucherechedzo weMereniyamu kana makore 1000 yerugare.
PaKuuya kwaShe, vatsvene vakafa vachamutswa mumiviri isingafi kana kurwara. Mwenga anorarama achashandurwa kubva mumuviri uzere zvivi kupiwa muviri wekubwinya.
Muviri uzere zvivi haugoni kurarama kwemakore 1000.
GENESISI 2:17 Asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; Nokuti nomusi waunoudya uchafa zvirokwazvo.
Munofa mukati meZuva rinotora makore 1000 zvichipimwa kubva pakuzvarwa. Metusera akararama makore 969.
Rufu ndirwo muvengi wedu wekupedzisira anotiisira miganhu.
Pakupera kwemakore 1000 erugare, Mwenga anenge ararama makore 1000 mumiviri yekubwinya ndicho chichava chiratidzo chekupedzisira chekuti asunungurwa kubva pakutuka kwechivi chekutanga, chekuberekwa nekusangana pabonde.
Mwenga anenge asununguka kurarama nekusingaperi peri haadzokere pamiganhu yese yaiiswa nemuviri uzere zvivi watakaberekwa nawo.
Korona yedu yekupedzisira ichava muviri wekubwinya usingachembere, usingarwari kana kufa.
Kana Hushe hweRugare hwemakore 1000 hwapera, Gungwa rinoputika roparadza chiso chenyika. Kunoita nyika itsva nehupenyu husingagumi munguva inouya inodakadza isina zvivi.
Chinhu chekupedzisa.
Imwe nguva imwechete apo Jesu akapa zvekudya kuruzhinji vaive vanhu 4000. vadzidzi vakanonga matengu manomwe emafufu akaraswa.
Testamente Itsva inoparidza kuti zvakaraswa nemaJuda zvakanongwa nemapostora vakazvishandisa kunyora Testamente Itsva inozoshandiswa kupa kereke chekudya munguva nomwe dzekereke. Nekudzokera chete kudzidziso dzekutanga dzemapostora, ndipo patinowana chokwadi munguva yekupedzisira yatiri.
Nguva nomwe dzemakereke evaHedeni dzakatora makore 2000 dzinofanira kuzadzisa rudzi kana mumvuri wemakore 2000 enhorondo yekare yevaIsraeri veTestamente Yekare.
Nguva yekereke yechinomwe inogumira pakuuya kwaShe kana Mwenga ashandurwa apihwa muviri wekubwinya.
Saka, makore 4000 enhorondo anokurudzira Mwenga wevaHedeni vasati vapihwa muviri wakarurama usingaparari unorarama nekusingaperi-peri.