Nguva dzeMakereke – Zvakazarurwa Chitsauko 1 – Kereke yakatopfuura Nguva Nomwe dzeMakereke here?
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Zvakazarurwa Chitsauko 1
Kereke yeMakristu yakagara yakatapwa pakati pezviitiko zviviri zvakakosha munhorondo yevanhu (Nyaya yake) inova Kuuya kwaJesu kuzofira zvivi zvedu, neKuuya kwaJesu kwechipiri kuzotora Mwenga wake kubva panyika achienda naye Kudenga kuchirairo cheMuchato neGwaiana.
Makore anoda kuita 2000 ari pakati pezviitiko zvikuri zviviri izvi akatarirwa nhorondo yekereke.
Kereke inogona kufananidzwa nembeu inodyarwa muvhu. Mbeu inofa yowora, nenzira inoshamisa isingagoni kutsanangurwa kana kutevedzerwa neveSainzi, inobuda mazhizha achibva muvhu isati yaita hura hunozoita huronyo hunozotenderera nemunda wese kuti paberekwe zvibereko. Zvino panobuda hura kuti huchengetedze mbeu inenge ichiberekwa mahuri. Panotanga kukura mbeu muti unotanga kuwoma. Pakupedzisira mbeu inokura yakafanana nembeu yekutanga yakadyarwa. Kunoba kwauya kukohwa panobviswa mbeu pamuti wayakaberekwa. Ipapo zvipfuwo zvinobva zvadya muti wakawoma usina kukohwewa.
Mukati memakore 2000 kereke inotarisana nenhanho ina huru apo nguva nomwe dzemakereke dzinosangana nezviitiko zvakasiyana zvinorwiswa nemaKristu. Asi kune hupikisi humwechete mukati menguva nomwe dzese, kereke yeRoman Catholic.
Danho 1
Lyi yaive mbeu chaiyo yekutanga yakatangwa naMwari.
Nguva yeKereke yekutanga: Mapostora akavamba chokwadi pakati pegore AD33 negore 100 AD papafa mupostora wekupedzisira, Johane. Nenguva iyoyo Testamente itsva yaive yanyorwa yatova nheyo dzekereke yekutanga.
Nguva yeKereke yechipiri: 200 AD yakuda kusvika makereke, mukuedza kwawo kufukidzira chakaipa, vakashaiwa hanya. Chakaipa chakafanana netsangadzi mumunda --- inogara irimo. Mukuedza kuita chakanaka vakaisa munhu kuti ave musoro wekereke. Izvi zvakaita kunge zvakanaka asi zvakazivisa chimwe chakaipa – hutungamiriri hwevanhu mukereke. Kuti vatungamiri vemakereke vese ava varambe vari mugwara, guta rimwe nerimwe rakasarudza bhishopu kuti atungamirire makereke ese muguta. Bhishopu uyu paaive munhu akanaka akafanana naIrenaeus, zvaive zvisingaiti kunge raive zano rakaipa. Asi havasi vazhinji vaive nehunhu sehwake. Vanhu vaitungamirira, kana mabhishopu, vakatanga kusungirira makereke avo kumifungo yavo. Mwari akashandisa kurwadziswa kukuru kwakaitwa nehushe hweRoma kuparadza maKristu saka zvakaderedza kuipa kwakakonzereswa nevanhu vaitungamirira.
Danho 2
Izvi zvakaita kuti mbeu yekutanga yechokwadi cheTestamente Itsva ivigwe pasi petsvina yeNguva dzerima.
Nguva yeKereke yechitatu: Zvematongerwo enyika zvakapinda mukereke naCostantine ari mubati weRoma muna 312 AD. Akashandisa kanzuru yeNecea muna 325 AD kuti atange dzidziso yekereke nekutanga bato rekereke rakarongwa muRoma kuti bhishopu weRoma aitwe munhu wake anotenda zvese zvaareva muhushe hweRoma hwekumadokero, paakaenda kumabvazuva kuConstantinople. Nemari zhinji yaConstantine, bhishopu weRoma aive akukwanisa kutenga nzira yake yekusvika pakuva nemasimba pamusoro pemamwe makereke kupfurikidza kupa mamwe makereke mari pavaive vaomerwa.
Chipegani chakapinda mukereke. Makore akapoteredza 400 AD bhishopu weRoma akatora chinzvimbo chaPope zvakamuita mutungamiri wemakereke ese akapoteredza aaikwanisa kuisa pasi pesimba rake. Negore 450 AD bhishopu weRoma akazvidaidza kuti Pontiff – muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Chokwadi chakabva chavanzwa pasi petsika dzechipegani (fungai nezvezuva 25 Zvita raive zuva rakaberekwa mwari wezuva, nemuti wechipegani wakashongedzwa wakazoita muti weKisimusi mumakereke) vanhu vemukereke vakabva vakabva vapinda muzviyera-yera. Kuita mufananidzo wemuchinjikwa, kunamata kuna Maria nevatsvene vakafa kuti vavabatsire.
Nguva yeKereke yechina: Negore 606 Pope kana Bhishopu weRoma akazviita Bhishopu wepasi rese. Akanga akuti ava Bhishopu Mukuru ane simba pamusoro pemabhishopu ese pasi rese.
Makumi emamiriyoni evapikisi vakaurayiwa nekereke yeRoma, yakaita zvayaigona zvese kuti vanhu vabve paBhaibheri. Europe yakabva yatonhora munezvemweya, ikapinda murima, netsvina.huwori nekuipa kwaive mukereke yeRoma zvaive zvakusemesa. Nguva dzeRima dzakava tsvina yakafutsira mbeu yekutanga yechokwadi chemapostora, kuti chisaonekwe. Asi ropa remakumi emamiriyoni evanhu vakafira Shoko raizonatsa ivhu rakavodzwa iri.
Danho 3
Mwari akatanga kudzorera hupenyu mukereke.
Nguva yeKereke yechishanu: Gore 1500 AD richangodarika mashizha matsva akatanga kutunga kubva muvhu raive rizere ropa apo Vamutsiridzi, vakatungamirirwa naMartin Luther muGermany, vakatanga kudzorera chokwadi chekuponeswa nekutenda muchibairo chaJesu. Knox, Calvin, Zwingli, Melanchthon, nevamwe vamutsiridzi vakabva vanyuka semashizha manyoro, kuita kwevaipikisa chiCatholic apa kwaive kusati kwatunga kuita mapoka emasangano akasiyana siyana aisimudzira nekukoshesa vanhu vaivatungamirira. Vanhu vaitungamirira vakabva vapindira, vakatsigira chiKristu chemakwikwi. “Kereke yangu iri nani pane yako”. Masangano akavaka dzidziso dzekuzvichengetedza nekuzvivhikirira nadzo.
Nguva yeKereke yechitanhatu: makore akapoteredza 1750 AD John Wesley muEngland akatanga kuita kwaibva panheyo dzehutsvenenekuparidzira kuvatadzi vaive kunze kwekereke. Izvi zvakateya nheyo dzenguva huru dzemamishinari dzakatungamirirwa naWilliam Carey semumishinari wekutanga kuIndia muna 1793. muenzaniso wake wakakurudzira makumi ezviuru zvevanhu kuti vapinde muchimishinari vachiparadzira shoko rinopahupenyu mumunda waShe raive reruponeso nehutsvene pasi rese. Nguva yakanaka yekuparidzira iyi yakagonesa maKristu kuvaka muono wakatatamukira kunze kwemiganhu yemasangano avo. Basa rekuparidzira raive rakaoma rakarema uye richityisa. Asi Mwari akasimudza hondo huru yeMweya yevanhu vakasimba vane chinanga chimwechete avo kubata kwavo kuchiri kurangarirwa nhasi uye kuchiri kukurudzira vazhinji. Mamishinari aya vaive vanhu vakanakisa kwazvo. Satani akarohwa kwazvo munguva iyoyo yaive nekuzvipira kwekuti vaive vasingarangariri nezvavo ivo chete asi vaizvipira kuitira ruzhinji. Asi Diaborosi ane maronda akaipisisa. Akananzva maronda ake akagadzirira kumwe kurwa kukuru achirwisa Mwari kuti atonge pfungwa dzevanhu.
Danho 4
Mwenga anofanira kudzorerwa zvakazara kuMweya neChokwadi chemadzibaba mapostora eTestamente Itsva. Asi izvi zvaifanira kuitika munguva yaive nechipo asi iri murima zvakare.
Nguva yeKereke yechinomwe: Kutanga mugore 1906 muLos Angeles, kuita kwePentekositi kwakadzorera rubapatidzo rweMweya Mutsvene nezvipo zveMweya. Zvakatanga sekuita kwakasununguka, asi muna 1917 masangano ePentekositi nemarimi emoto akadzima. Makore akapoteredza 1940 akuda kunopera, William Branham naOral Roberts vakasimudzazvePentekositi, moto wemutsiridzo ukabaka zvakare. Asi nguva iyi, totenda kuputika kwezivo dzesainzi netekinoroji, yakava nguva yakapfuma. Zvinosuwisa, kunatswazve kwemweya kwakasvibiswa nerudo rwepfuma uye zvepabonde. Mharidzo nedzidziso dzehupfumi zvakasunungura makaro muvanhu, chinhu chisina kubvira chakanaka zvachose, uye hachina chachinoburitsa chinobatsira kwenguva refu. Munguva ino yekudisa kwazvo magarikwa, asi yakatungidzwa mukusagadzikika, kusadzikama, kufunganya, kurwisana, nehutsinye, vanhu vakazadzwa nekuzvida nekuzvitsaga zvekuti havagoni kunzwa izwi raJesu paanodana kwavari ari kunze kwemakereke avo. Uku ndiko kuipa kukuru kwava munguva ino vatungamiriri vemakereke vakatokunda kubvisa Kristu muvanhu vari mukereke. Izvi ndizvo vanyori vevaFarise, vatungamiri vechitendero kumaJuda, vakagona kuita pakatanga Jesu kuuya panyika.
Saka vanhu vakazvimiririra vega vacihtsvaga chokwadi pakati peMwenga vanofanira kudzorerwa pakutenda kumwechete kweTestamente Itsva kwakatendwa nemapostora. Vanofanira kuwana Chokwadi kunze kwemakereke avo avanonamatira. Sezvakaitwa nemamishinari, vanofanira kushinga nekuzvipira kuti vakunde kuita izvi. Asi vamwe, mukutya nekudedera, vachatsvaga kupedzisa kutenda kwavo mudutu riri kuuya rekutongwa richatsvaira nyika munguva yeKutambudzika kukuru. Izvi zvisati zvaitika, Mwenga akadzorerwa pakuita kwekereke yekutanga kuti mbeu yekutanga nembeu yekupedzisira zvifanane, achabviswa kubva padavi rekereke yakaoma mumvura yekukohwa, apo Mwari anomutora kukwira Kudenga kumutambo weGwaiana. Vamwe vanhu vese panyika vanoenda kuchikara. Mwenga achadya, vamwe vese vachadyiwa.
Chitsauko 1 muBhuku raZvakazarurwa kuziviswa kupfupi kwenguva nomwe dzemakereke.
Mateo Chitsauko 13 inotaura pamusoro pemifananidzo minomwe yehushe. Mifananidzo iyi inofananidzwa nenguva nomwe dzemakereke.
MARKO 4:11 Akati kwavari, (vadzidzi Vake) imi makapiwa zvakavanzika zvovushe hwaMwari asi kunaava vari kunze zvose zvinoitwa nemifananidzo.
12 Kuti kuvona vavone asi varege kuvonesesa nokunzwa vanzwe asi varege kunzwisisa kuti zvimwe varege kutendevuka, vakangamwirwe zvivi zvavo.
Jesu akapa vapostora muono muzvakavanzika zvenhorondo yekereke yaiziviswa. MaJuda aizobviswa muhurongwa hwaMwari pavaizoroverera Messiasi. Mwari aizotendeukira kuvaHedeni. Ichi chaive chakavanzika chisina kubvira chanzwisiswa nemaJuda.
Asi chokwadi chakashandiswa nemapostora kutanga kereke chaizorasika apo vanhu vaitungamirira netsika dzevanhu zvakawodza kereke yevaHedeni. Pakupedzisira, munguva yekereke yechinomwe, chakavanzika chenhorondo yenguva dzemakereke chaizoziviswa. Izvi zvaizogonesa vatendi venguva yekupedzisira (vana) kudzorerwa pakunzwisisa kwaive nemapostora (madzibaba).
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake ivo vaprofita.
VAROMA 11:25 Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;
Asi kereke yese yaizoramba kudzokera kunotenda zvakatendwa nevaprofita. Jesu, Shoko, anenge akavharirwa kunze kwemukova wekereke munguva yekereke yekupedzisira. Mwari aizotora kereke yake yechokwadi kukwira kudenga otendeukira kumaJuda.
ROMANS VAROMA 16:25 Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
Pauro akatanga zvakavanzika zveEvangeri. Nheyo dzechiKristu dzakateiwa naPauro. Tonofanira kudzokera kune zvakaitenda.
EPHESIANS VAEFESO 2:6 Akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;
7 kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;
Kune nguva dzinouya sekutaura kwaPauro. Aiziva kuti kuchave nenguva nomwe dzemakereke. Asi nguva imwe neimwe yaifanira kufambirana neimwe nzira.
I PETRO 2:5 Nemi vo, samabwe mapenyu, muvakwe muve imba yoMweya, muve vuPirisita vutsvene, kuti mubayire zvibayiro zvoMweya, zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu
Mukristu mumwe nemumwe ibwe rinorarama muTembere yaMwari yeMweya inorarama kwemakore 2000. muKristu mumwechete chikamu chevuPrista vutsvene. Hushumiri hwemabasa mashanu hahusi chiprista chaAroni chaive chakamira pakati pevanhu naMwari. Vatendi vese chikamu chevuPrista. Saka vatendi vose vakaenzana.
VAGARATIA 1:8 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.
9 Sezvatakamboreva, zvino ndinoreva zve saizvozvo: Kana kunomunhu unokuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana naiyo yamakagamuchira, ngaave wakatukwa.
Nei Pauro akataura izvi kaviri.
MaKristu iwayo munguva yekereke yekutanga vaifanira kumuterera sezvo akanyora hafu yemabhuku eTestamente Itsva. Hakuna mupostora, kwete chero Pauro pachake, anogona kushandura zvakanyorwa. Bhaibheri rakakosha. Vanhu vanokwanisa chete kuparidza zviri muBhaibheri.
II VATESARONIKA 2:3 ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
Ipapo chokwadi chinofushirwa muNguva dzeRima munguva yekereke yekupedzisira chete ndimo maKristu achadzorerwa kudzidziso dzaPauro.
Nguva yechipiri ari kutiyambira munguva yedu yekupedzisira. Tinofanira kutenda zvakataurwa naPauro kana kuti tinobva tatukwa. Kana tikaramba zvakanyorwa naPauro tinenge tiri mudambudziko guru. Nguva yekutambudzika kukuru iri kuuya sedutu guru nzira imwechete yatingapunyuka nayo kudzokera kune zvakadzidziswa naPauro. William Branham aifanirawo kutevera nemo nemo dzidziso dzaPauro.
I VAKORINTE 3:9 Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.
10 Nenyasha dzaMwari dzandakapiwa, ndakaronga nheyo somuvaki wakachenjera; mumwe unovaka pamusoro padzo. Zvino mumwe nomumwe ngaachenjere kuti unovaka sei pamusoro padzo.
11 Nokuti hakunomumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.
MuKristu mumwe nomumwe ibwe rinorarama muTembere yaMwari ichavakwa mumakore 2000 enhorondo yekereke. Asi chero chamuchavakira Mwari, itai chokwadi chekuti muchavaka panheyo dzakavakwa naPauro.
Tinovaka “pamwechete” naPauro. Musazviitire mazano enyu mega akachenjera. Dzokerai chete kune zvakataurwa naPauro.
VAROMA 16:25 Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
Evangeri raPauro raive nheyo dzaifanira kuvakirwa nekereke pakutevera kwayo. Ichi chaive chakavanzika chikuru chaive chakavanzirwa maJuda. Kereke yakabva yarasikirwawo nezivo payakatanga kutevera vanhu vaitungamirira. Saka dzidziso dzenguva dzemakereke dzakarasika muvaHedeni kusvikira dzazodzorerwa munguva yekupedzisira kana kereke yechinomwe.
VAEFESO 1:9 akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;
Mwari akatendera nhorondo yekereke yake kuziviswa nenzira inoonekwa nevanhu yakavanzika. Kuda kwaMwari kwakasiyana kwazvo nekuda kwedu isu.
VAEFESO 3:3 kuti zvakanga zvakavanzika zvakandiziviswa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma
4 kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;
5 Zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vaapostora vatsvene, navaporofita zvino muMweya;
MaJuda akapindawo munguva nomwe dzemakereke, vakatangira panaAbrahama akasiya “mudiwa wake wekutanga” paakati Sara aive hanzvadzi yake kwete mukadzi wake. Johane Mubapatidzi akazouya munguva yekupedzisira kana kuti nguva yechinomwe emaJuda kuzozivisa Jesu akafira kunze kwevuvutiro bwemaJuda ari Mambo wavo wavakaramba. Vatungamiri vezvitendero vechiJuda, vanyori nevaFarise, vakapofomadza vanhu kuti vafuratire Messiasi wavo.
Asi munguva yese yenhorondo yemaJuda pfungwa yekuti kereke yevaHedeni inozotora nguva yemakore 2000 chaive chakavanzika chakazara kwavari.
VAEFESO 5:32 Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
VAKOROSE 2:2 kuti moyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;
Kuzara kwehuMwari ndiko chakavanzika chikuru.
I TIMOTIO 3:16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama,
Neimwe nzira Jesu Munhu uye ndiMwari. Izvi hazvisi nyore kunzwisisa. Kereke yaizorasikirwa nekuona Jesu ari Mwari Wamasimbaose.
Irony – maJuda havanakukwanisa kutenda kuti Mwari Wamasimbaose anogona kuva Munhu, Jesu. Kereke nhasi haigoni kutenda kuti Munhu Jesu ndiye Mwari Wamasimbaose. Vanongomuona seMwanakomana waMwari. Zvakaoma -
Asi chiedza ndicho chimwe chakavanzika. Chinoita sechinhu chinogona kufamba chichiedza rutivi rumwechete chete (sebara) asi chinoitawo semafungu anoenda mativi ese nguva imwechete (sezvazvinoita kana dombo rikadonhedzerwa mumvura motarisa mafungu achifamba achienda mativi ese).
II VATESARONIKA 2:7 Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate-basa racho, asi zvichaitwa bedzi kusvika iye unodzivisa zvino achibviswa.
“kudzivisa” zvinoreva kurambidza. Hunyengeri hwechitendero hwakachenjera zvekuti hunonyengera ruzhinji rwevanoenda kukereke. Vashoma kwazvo vachagona kuburitsa pachena kutadza kwekereke. Mwari anorwisa kuipa uku kusvikira paachasiya nyika pakupera kwenguva yekereke yechinomwe. Ipapo rudzi rwevanhu runenge rwamudambudziko guru. Wakaipa anenge asisina muganhu pakuita kwake munguva yeKutambudzika kukuru.
VAEFESO 1:10 kuti afambise kuzara kwenguva, avunganidze munaKristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.
Mwari anoda kuunganidza venguva yekupedzisira nevenguva yekutanga kuti vave muboka rekutenda zvakafanana.
VAGARATIA 1:11 Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Evangeri yakaparidzwa neni, haina kuita
12 Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu.
Hakuna munhu anogona kuwedzera chero chinhu kuBhaibheri. Hakuna munhu anogona kushandura Bhaibheri. Bhuku raZvakazarurwa rinozivisa nhorondo yese yeEvangeri mukati mezviitiko zvakasiyana zvenguva imwe neimwe. Satani akaramba achikandira matambudziko akasiyana, Mwari neimwe nzira akaita kuti vatendi vake vakurire pachiso chezviitiko zvizhinji zvakavawira nguva dzakasiyana.
I PETRO 1:13 Saka zvisungei zvivuno zvendangarairo dzenyu, musvinure, mutarire nomoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuvonekwa kwaJesu Kristu;
I PETRO 1:17 Zvino kana muchimuidza Baba, iye unotonga achitarira zvakaitwa nomumwe nomumwe asingatariri zvinovonekwa zvomunhu, garai panguva yovutorwa bwenyu muchitya;
Kana tikarangarira zaruriro yaJesu Kristu tinozoona kushata kukuru kwekunyengereka mumazuva edu, nekuvimba kwedu kwakazara muna Mwari kunotiita kuti timutye. Hatizotsvakiri makaro edu nekuchiva kwedu.
Kuziviswa kwaJesu Kristu kunoisa kukosha pana Jesu. Kwete pane mumwe munhu mukuru ane mbiri.
ZVAKAZARURWA 1:1 Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johane;
Chitsuko ichi chinotangira pakukoshesa Jesu. Kana tisina hukama nekuti Ndiye Ani, ipapo tiri nyore kubvisa meso edu paAri totanga kukoshesa munhu.
‘Zvinhu zvinozadziswa’-- zvinozozivikwanwa senhorondo yekereke. Zviitiko zvakasiyana-siyana zvinowira maKristu. Garai nezvinotaurwa neBhaibheri, kwete nemazano enyu pamunotarisana nemuvengi. Mazano enyu pakuti chakaipa choisirwa muganhu sei anotounza rimwe dambudziko remifungo yevanhu inopinda mukereke.
ZVAKAZARURWA 1:2 wakapupurira shoko raMwari, nezvokupupura kwaJesu Kristu, achireva zvose zvaakavona.
Garai nezvinotaura Bhaibheri sezvo riri Shoko raMwari. Kupupura kwaJesu kunoreva kuti munoita zvinhu nenzira yake, kwete nzira yenyu. Nzira dzake dzakanyorwa muBhaibheri.
ZVAKAZARURWA 1:3 Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita, uku vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedo.
Tinoverenga Bhaibheri, kwete mifungo yemunhu. Munokomborerwa chete kana mukanzwa mumwe munhu achiverenga zvakanyorwa muBhaibheri, asi munofanira kugara nezvakanyorwa. Chengetai Shoko raMwari. Musarishandure kuti zvikuitirei. Kuvimbika kazhinji hakufambirani nezvido zvedu isu vanhu neshuviro dzedu. Uye kuvimbika hakuenderani nemifungo yedu yevanhu.
ZVAKAZARURWA 1:4 Johane kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha ngadzive nemi, norugare, zvinobva kunaiye uripo, wakanga aripo, nouchazovapo; nokunemweya minomwe iri pamberi pechigaro chake chovushe;
Bhuku raZvakazarurwa rakanyanya kunangana nenguva nomwe dzemakereke. Nguva yekereke yekutanga yaive nechokwadi chavakawana kubva kumapostora. Kuedzwa kwavo kwaive pakutenda kuTestamente Itsva, nekuva vakazvipira kufira zvavaitenda. Muna 64 AD mubati weRoma Nero akatanga kurwadziswa nekuuraiwa kwemaKristu. MaKristu mamiriyoni matatu vakavuraiwa nevabati veRoma mumakore 250 ekutanga enhorondo yekereke. Vaive vakatarisana nerufu semuvengi wavo mukuru.
Ipapo chokwadi chakarasika mukati nenguva dzemakereke vaive vaive vasisina gwara rekuti micherechedzo yaive mubhuku raZvazaruwa yairevei. Munguva yekupedzisira micherechedzo iyi yese yaizoziviswa. Saka Johane ainyorera maKristu enguva yekupedzisira. Ivo vega ndivo vaizomunzwisisa.
Nyasha dzaMwari dzakakosha. Iye oga anokwanisa kubatsira maKristu. Tinoda rugare mumoyo yedu kubva kuna Mwari muzviitiko zvakaomarara zvinonyegera zvakatipoteredza. Hondo ndeyaMwari. Tinofanira kudzidza kuzviwisira kukuda kwake.
Chiverengo chechinomwe chinomiririra kuzadziswa. Mazuva manomwe anozadzisa vhiki. Ndudzi nomwe dzeruvara dziri pamurarabungu. Manotsi manomwe ari mukugadzirwa kwenziyo “Dhoh, Rey, Mi, Fah, Soh, Lah, tee”. Makereke manomwe ndiwo anodiwa naMwari kuzadzisa hurongwa hwake hwenhorondo yekereke.
Akasarudza Asia. Pakunyorwa inotanga nekupera na A. Vara rekutanga rakafanana nevara rekupedzisira. Nguva yekereke yekupedzisira inofanira kufanana nenguva yekereke yekutanga. Asia inzvimbo kana nyikayevaHedeni. Iri igwara rekutizivisa kuti nguva inouya (senguva yekunyorwa kweBhuku raZvakazarurwa) ichange iri yevaHedeni kunyanya.
“Uripo” (nguva yedu yechinomwe nhasi), “wakanga uripo” (zvakare. Nguva yekereke yekutanga yaive munezvakare kune mamwe makereke ese), “uchazovapo” (zviri munguva inouya. Jesu “achauya” kana maKristu enguva yekupedzisira adzoserwa zvakazara pakutenda kwakatendwa nemaKristu enguva yekereke yekutanga. Iri ndiro rega boka raive neramangwana rakanaka, risina Kutambudzika kukuru.
Mweya minomwe. Mwari akapa hunhu hwakasiyana siyana hweMweya wake kunguva imwe neimwe kuti uisire matambudziko enguva iyoyo muganhu. Saka nguva imwe neimwe inoita seyakasiyana nedzimwe nekuti hunhu hwaMwari hwakasiyana-siyana hunoratidzwa nguva imwe neimwe inoita seyakasiyana neimwe nekuti hunhu hwaMwari hwakasiyana hunoratidzwa nguva imwe neimwe. Nguva yedu yechinomwe yakanyura muhupfumi, asi mharidzo yedzidziso dzisidzo dzachenjera kwazvo zvekuti tinoda kunzwisisa kwazvo Bhaibheri kuti tikurire chakaipa. MuNguva dzeRima dzenguva yechina vaive nechokwadi chishoma kwazvo zvichida nekuti maBhaibheri aive akarambidzwa, asi vaida kushinga kukuru kuti vapiswe panyama vasingarambi chero chokwadi chiduku vacho chavaive nacho. Saka Mwari akaratidza Mweya wake Mutsvene munzira nomwe dzakasiyana mumatambudziko adzo akasiyana.
Semuenzaniso, mukadzi anogona kuva mudzimai wemurume, mwanasikana waamai vake, mai vemwanasikana wavo, sahwira wemuvakidzani, batsiri pabasa, mubatsiri pachipatara, uye mununuri wemhuka munguva dzedambudziko. Anenge achiita hunhu hwakasiyana zvichienderana nekuti anani panguva iyoyo. Asi anenge achiri mukadzi mumwechete ane nzira nomwe dzekuzviratidza mabasa ari maari. “Murume wangu anondiudza zvekuita”, ndizvo zvinotaura mudzimai asi “Ndinoudza mwanasikana wangu zvekuita”. Asi uyu mukadzi mumwechete.
ZVAKAZARURWA 1:5 nokunaJesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe kuvakafa, mubati wamadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka, pazvivi zvedu neropa rake,
Kungori nemupupuri mumwechete akatendeka anogona kuvimbwa naye mushanduko dzezviitiko munhorondo yekereke ndiJesu, Shoko raMwari.
Ndiye akatanga kumutswa mumuviri mutsva usingavori. Nguva yekereke yekupedzisira inoguma nekumuka kwevakafa. Saka Bhaibheri rinotipa makwara ese atinoda kuti tigadzirire rumuko.
Mwanakomana Muchinda anotora hushe kubva kuna Baba vake Mambo. Jesu ndiye Muchinda wemadzimambo ese epasi pano. Paanodzoka, achatora hushe hwemadzishe ese sezvo vachasiya nyika iye achigadza hushe hwake panyika.
Jesu anotida, ari kutambudzika kuti aite kuti titende chokwadi kuti atiponese kubva kuKutambudzika kukuru.
Kune nzira imwechete chete yekuti tiponeswe kubva kugehena. Kureurura zvivi zvedu zvosukwa muRopa raJesu. Izvi zvinotiponesa kubva kugehena. Ndiyo dzidziso yakakosha yakafamba munguva dzemakereke.
Asi kereke yekupedzisira ine rimwe dambudziko guru nekuti inoperera muKutambudzika kukuru uye tinoda kuponeswa kubva kunguva iyoyo zvakare, chero zvazvo takaponeswa kubva kugehena zvakare. Ndizvo zvakamiririrwa nekudzorerwa kukereke ekutanga. Zvavakatenda bedzi ndizvo zvichatiponesa kubva kuKutambudzika kukuru.
ZVAKAZARURWA 1:6 akatiita madzimambo, navaPirisita kunaMwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba nokusingaperi peri. Ameni.
Tichatonga naKristu mumakore 1000 erugare panyika (Mereniyamu) semadzimambo panyika. Nhengo imwe neimwe yeMwenga chikamu chehuprista. Hapana chiprista chaAroni chehushumiri hwemabasa mashanuchinosimudzirwa pakati pevanhu naMwari. Semadzimambo nevaprista hakuna munhu ari pamusoro pedu. Saka kereke inofanira kufambiswa sechiprista chiri panheyo dzekuenzana kwenhengo dzacho. Pasina mufundisi kana pasita akasimudzirwa, vanhu vachizviwisira kwaari.
Vaprista nemapasita vaodisa kwazvo kukudzwa nevanhu, nechinzvimbo chekukosheswa. Vanoda simba ravanaro pamusoro pevanhu. Zvinogutsa kuzvitutumadza kwavo nekuzvikoshesa kwavo. Asi kukudzwa nesimba pamusoro pevanhu ndezvaJesu. Kukudza munhu inhanho yekutanga uchienda nenzira isiyo. Kuvimba nemunhu zvinotiisa munzira yekurasika.
ZVAKAZARURWA 1:7 Tarirai, unovuya namakore, meso ose achamuvona, naivo vakamubaya; marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Hongo, Ameni.
Kuuya kwake kuchave nemakore, muhuzhinji. Makore ekubwinya achaonekwa pamwe nemuviri wake. Haasi kuzouya ari gore.
Kana meso ese amuona, kunenge kwakuuya kwake kwechitatu paanodzoka kuAmagedhoni pakupera kwenguva yeKutambudzika kukuru. Vasikana vese mapenzi vanenge vavurawa mukutambudzika kukuru. MaJuda 144000 vanenge vavurawa zvakare. Chikara nevanochibatira, nekuuraya vaya vanoramba kuchibatira, ndivo vanosara. Ndicho chikonzero nei vanhu vese vachiungudzakuu. Vanenge vakuziva kuti vachadavira kumhosva dzavo nekuuraya kwavo.
“Hongu”. Ndiyo nzira yazvinofanira kuva. Vanotevera Magwaro vachapunyuka nguva yeKutambudzika. Mamwe maKristu ese kaponeswa achauraiwa munguva yeKutambudzika kukuru.
MABASA 1:9 Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitarira; gore rikamubvisa, vakasazomuvona,
Akakwira kudenga negore. Haana kuenda kudenga ari gore.
11 ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga.
Achauya negore. Haasi kuzouya ari gore.
Gore rinoshamisa rakaonekwa muna 1963 kwaive kusiri kuuya kwaShe.
Gore harina kubvira raburuka kuuya panyika. Rakaramba riri mudenga chinhambwe chemamaira makumi maviri nemanomwe (27) asi rakangoonekwa kwemaminetsi makumi maviri nemanomwe zuva richangodoka. Zvisinei, paionekwa makore maviri.
Mufananidzi uyu wakatorwa kubva paWinslow muArizona.
ZVAKAZARURWA 1:8 Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo, wamasimba ose.
Akakoshesa nguva mbiri yekutanga neyekupedzisira. Nei? Anoda kuti nguva yekupedzisira yekereke igume yakutenda zvakafanana nezvakatendwa nekereke yekutanga. Mbeu inodyarwa inoguma yafanana nembeu inokohwewa pakupedzisira. Saka Jesu anotiyambira – kana tisina kufanana nekereke yekutanga, tinenge tisiri munguva yekukohwa paanotora Mwenga wake kubva panyika.
“Uripo”. Zvirikuitika. “Wakanga aripo”. Zvakadarika. Kumwe kuyambirwa – panguva yedu yanhasi tinofanira kudzokera kune zvakanga zvakaita kereke panguva yekutanga. Kana tafanana navo, ipapo chete ndipo paanozokwanisa kuzadzisa zano rake zvinoreva kuti “Uchaovapo” kuzotora Mwenga wake kuenda kudenga. Izvi zviri munguva inouya. Saka Mwenga akadzorerwa ane ramangwana rakanaka.
Asi tarirai pakutsiviwa kwemaPope.
ZVAKAZARURWA 17:8 ... kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
Pope aitonga. Anenge asisipo kana afa. Chichazovapo kana vasarudza Pope mutsva. Kutsiviwa kwemaPope ndiwo mutsetse wakarebesa wevatongi munyika dzekumadokero. Asi tarirai. “chaivapo” zviri munguva dzakadarika. “hachichipo” zviri muzvinhu zviri kutoitika. “Chichazovapo zviri muzvinhu zvirikuitika. Saka kutsiviwa kwemaPope kuri kutsanangurwa nemazwi muzvikamu zvezviri kuitika nezvakaitika. Zvinotiudza kuti hakuna nguva inouya mazviri nemamwe mazwi, hakuna ramangwana mumusha wemaPope, guta reVatican, rinova Babironi yakavanzika. Vachaparadzwa nebhomba renyukiriya.
ZVAKAZARURWA 18:9 Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro;
10 ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe
Vaichemerei vari kure? Nei vasina kupinda kunodzima moto? Kubvira kwenyukiriya kusingagoni kudzimwa nekuda kwekupararira kwaro kwakaipa kunouraya vese vanenge vari pedyo. Hakuna anoda kuswedera pedyo nepanoputika bhomba renyukiriya.
ZVAKAZARURWA 1:8 Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo, wamasimba ose.
“Wamasimbaose” Jesu ndiye Mwari wamasimba ose. Hakuna angaenzaniswa naye. Musafe makaedza kusimudzira munhu kuti aenzane naMwari. Kana muchitenda chimwe chinhu chaita saichocho, zvinongoratidza kuti hamuzivi kuti Mwari ndiyani. Mwari akafanana nezuva. Munhu akaita senyeredzi. Nyeredzi inopenyesesa haigoni kupenya kana zuva rabuda.
ZVAKAZARURWA 1:9 Ini Johane, hama yenyu, mugoverani pamwe chete nemi pakutambudzika, novushe, nokutsungirira munaJesu, Kristu ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patmosi, nokuda kweshoko raMwari, nokupupura muna Jesu Kristu.
Vanhu vanodisa kwazvo hutungamiri hwekereke. Ndidaidzei kuti mufundisi. Ndiri pamusoro penyu munofanira kuzviwisira kwandiri. “-- tarirai zvinotaurwa naJohane, “ndiri hama pamwechete nemi”. Mupostora mukuru uyu haaedze kutinyegera nechinzvimbo chake uye kudaidzwa kwake. Aive mumwe wevanegumi nevaviri vakasarudzwa. Anokwanisa kutora chinzvimbo chemupostora ichocho. Asi haana vanhu vanokoshesa zvinzvimbo zvavo zvehutungamiri vakakanganisa kereke zvakanyanya mukati menguva dzemakereke. Hutungamiri hwevanhu mukereke hwakagara huri dambudziko. Saka mupostora mukuru uyu akaisa muenzaniso, “ndiri hama pamwechete nemi”. Makangofanana neni. Hakuna chprista chaAroni chine hushumiri huri pamusoro pevamwe vanhu. Kusimudzira munhu pamusoro pevamwe ndidzo tsika dzavaNikoraiti. Inzwimbo yakaipa kuti tiwanikwe tiri.
“Mubatsiri muKutambudzika”. Kereke ine Kutambudzika kuzhinji kwainosangana nako. Makumi emamiriyoni evanhu vanofira Shoko vanoripira kutenda kwavo. ChiKristu hachisi chevakaneta pahana. Johane haana kuvimbisa mubhedha wemaruva. Akakuvimbisai Kutambudzika. Sezviuru zvemamishinari vakatambudzika vakafira munzvimbo dzekuparidzira. Kwete vaVangeri vepazvivhiti vhiti nemapasita kana vafundisi vemakereke makuru embiri vanogara dzimba dzehutefe tefe. Vane chavari kupesana nacho.
Kana uine hupenyu hwakapfava hunofamba zvakanaka hwechoKristu, ngwarira. Zvichida hausi chipingaidzo kuna Satani ndicho chikonzero achikusiya nerugare rwako.
Patmosi chaive chitsuwa chaive nejeri raiiswa vasungwa vehushe hweRoma. Johane akatanga kudzingirwa kuchitsuwa chePatmos zvaive zvisina kuringana naNero, mubati weRoma aive akaipisisa akatonga kubva muna 54 kusvika muna 68 AD. Nero akafa muna 68 AD vasungwa vese vezvematongerwo enyika vaisunungurwa pakufa kwemubati anenge avasunga. Domitian akatonga kubva muna 81 kusvika muna 96 AD akadzingira zvakare Johane kuPatmosi panguva yekutonga kwake kwaive kwakaomarara. Johane akazosunungurwa pakafa Domitian. Venhorondo vanoti Johane akaenda kuEfeso, guta riri pedyo zvakanyanya nePatmosi, akanopedzisa kubatanidza maBhuku eTestamente Itsva sezvo ari ndiye ega mupostora aive asara, saka aive munhu wekupedzisira aikwanisa kuwana hudzamu hwegwara raibva kuna Mwari. Johane akaziva Mwari Mwari paaive panyika ari Munhu, achidaidzwa kuti Jesu.
Johane aive akasungirwa kumira kwake neBhaibheri.
Uku ndiko kuchava kuedzwa kwedu kwekupedzisira zvakare. Munogona kumira neBhaibheri here kana vamwe vanhu vese vakakupoteredzai vachimira nemazwi avakabata paitaura vanhu?
ZVAKAZARURWA 1:10 Ndakanga ndiri muMweya nezuva raShe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, rinenge serehwamanda,
Zuva raShe inguva yeKutambudzika, kwete zuva repavhiki.
ISAYA 13:6 Chemai, nokuti zuva raJEHOVA riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose.
9 Tarirai, zuva raJEHOVA rinouya, rinotyisa, rine hasha no kutsamwa kukuru, kuti ashandure nyika iite dongo, nokuparadza vatadzi vayo vabvemo.
AMOSI 5:20 Ko zuva raJehova haringavi rima, rikarega kuva chiedza here? Haringati, Zi! Kwazvo, risina kupenya here?
JEREMIA 46:10 Nokuti zuva iro izuva raShe, JEHOVA wehondo, zuva rokutsiva kuti azvitsivire vadzivisi vake; munondo uchadya nokuguta, uchanwa ropa ravo ukaguta, nokuti Ishe, JEHOVA wehondo, unechibayiro chake kunyika yokumusoro parwizi rwaYufuratesi.
Russia inoparadza. Russia iri kumusoro kweIsraeri.Mambo wekumusoro achaparadzwa munguva yeKutambudzika kukuru.
ZVAKAZARURWA 1:11 richiti: Ndini Alpha na Omega wokutanga nowokupedzisira izvo Zvaunovona, zvinyore mubhuku, uzvitumire kereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, napaSmirna, napaPergamo, napaTiatira, napaSardisi, napaFiraderfia, napaRaodikia.
Jesu akaisa kukosha panguva yekutanga nenguva yekupedzisira. Nguva yekupedzisira inofanira kudzorerwa kunnotenda zvakatendwa nevenguva yekutanga.
Chero izwi rekuti “ASIA” rine chirevo zvakare. Vara rekupedzisira ndi “A” rakafanana nevara rekutanfa.
Madonhwe matsvuku manomwe anoratidzira nekumiririra makereke manomwe muAsia. Roma yakaratidzwa nedonhwe raruvara rwvegirini.
Maguta manomwe ari pamugwagwa mukuru. Mwari akatsanangura kuita kwawo akatumira shoko, kwete nemugwagwa mukuru uyu kuti atsanangure chimiro chemakereke manomwe aya asiwo “nemugwagwa mukuru wenguva” kana kuti mutsetse wenguva” paanotsanangura zviitiko zvichaitika munguva dzemakereke dzinouya. Diaborosi anokurirwa nenguva sezvo asingagoni kuona ramangwana. Mwari anoprofita pamusoro penguva inouya kuti aratidze kutonga kwake kwaanako panguva. Chiprofita ndicho chinoita kuti Bhaibheri rive rakasarudzika. Ndiro chisimbiso chaMwari.
Mugwagwa mukuru unobva Efeso (1) uchienda Raodikia (7) unoratidzwa pamepu iri pamusoro zvakare nenzizi mbiri dziri munzvimbo iyoyo.
Kunobva kwauya simba chairo. Mwari akaita kuti hunhu hweguta rimwe nerimwe huenderane nekereke yaizotora zita raro munguva inouya. Nguva dzemakereke enguva inouya idzi dzaizoitika zviitiko sezvakaita mumaguta aive mumugwagwa mukuru. Izvi zvinoratidza simba rina Mwari pamusoro pezviitiko zvehupenyu hwevanhu.
Nzira yakabva yatanga.
Nzira yakakwidza ichibva paEfeso kusvika yasvika paguta guru rezvematongerwo enyika Pergamosi (3) ichibva yatendeuka zvaishamisa. Iyi inguva yekereke yechitatu umo mubati Constantine akamanikidza zvematongerwo enyika nechipegani kupinda mukereke yeRoman Catholic. Nemari yese uye mbiri yaive yaitwa nemuzinda weLaterani zvikapihwa kuna bhishopu weRoma, bhishopu weRoma akava nesimba guru akava mutungamiri wekereke yakarongwa nevanhu, ndiyo yega yaive bato reRoma rakararama pakuparara kwehushe hweRoma, kwakakonzerwa nekurwisa kwemarudzi evatorwa. Kwakabva kwatevera nzara, hosha, kusagadzikika nekuuraiwa kwevanhu munezvechitendero muNguva dzeRima. MaPope akakurudzirawo makurusedhi aiurayiwa vanhu akanopinda muParesitina kuti vauraye maMoziremu. Maive nechadzera chechiedza chaive chakaita sechaive nemaAlbigenze muFrance yekumusoro, maWeldenze mumakomo eAlps naJan Hus wekuBohemia vakatsikirirwa nekereke yeRoma ikavapikisa. Kereke yakabva yatanga kudzokera kuhwaro hweEfeso nerumutsiridzo rwaMartin Luther (5) nenguva yemamishinari yaJohn Wesley (6) nevePentekositi verumutsiridzo rweMweya Mutsvene rwakatanga nguva yekereke yeRaodikia muna 1906 paLos Angeles (7).
Pakupedzisira kereke yaida kumutswa kwechokwadi cheMagwaro. Mupfrofita Erija aidiwa kuti atidzorere kudzidziso dzemadzibaba mapostora paive patangira zvese.
Asi tsika yekereke yekuita munhu mumwechete anotungamirira ari mufundisi yakadzikisira kuita uku. Kwakabva kwatevera kuzvikudza kwevafundisi vakasimudzirwa ava vakatanga kuturikira zvakataurwa zvekuti zvakaisa zviitiko zvenguva inouya munguva yakadarika. Gore guru remuna 1963 rakaitwa Kuuya kwaShe, nekuburuka kweMutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10. hama Branham vakaonekwa “nevatendi veMharidzo” zvakasiyana kubva pakuva muprofita kuitwa “Izwi raMwari”, vakatsiva Magwaro nekutaura kwavo pese pavaigona napo. Vakakudzwa kudarika kuva munhu sezvavaive, pavaitaura kuti aive kuonekwa “kweMwanakomana weMunhu”. Kumanikidzirwa “kwekunamatwa kwemufananidzo wemuprofita Danieri kwakatangira munguva yevaHedeni yekutanga kuBabironi. Kusimudzirwa kwakachenjera kwezvakavanzika zveBabironi kuitwa chokwadi chemuBhaibheri kwakadzikisira vatendi veMharidzo kusvika pachidanho chimwechete ichi chekuti vanoti muprofita wavo ndiye Mukuru, zvaakataura zvakamira pachinzvimbo cheShoko raMwari, munguva yevaHedeni yekupedzisira yeRaodikia. (Vicarius Filii Dei zvinoreva kuti “pachinzvimbo cheMwanakomana waMwari. Iyi ndiyo 666 chiverengo chechiratidzo chechikara.
Hakuna anogona kutsiva Jesu kana kumira panzvimbo pake.
Saka kune chakavanzika chekupedzisira kunguva nomwe dzemakereke.
Kuti munhu umwe nemumwe abude mumapoka eMharidzo akavaka kuturikirwa kusimo muMagwaro kwezvakataurwa zvakasarudzika.
Kuita kwekuti vakuru vatsive mufundisi kana pasita anotonga pachinzvimbo chekufudza boka panzvimbo.
Hakuna Magwaro anotaura kuti mari yechegumi ndeyapasita kana mufundisi.
Hakuna Magwaro anoti tinofanira kusanganirana muchivakwa “chechechi” kana tabernakeri.
Vatendi venguva yekereke yekutanga vaisangana mudzimba.
VAROMA 16:3 Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.
5 Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo.
I VAKORINTE 16:19 Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPrisira vanokukwazisai zvikuru munaShe, pamwe chete nekereke iri mumba mavo.
MABASA 8:3 Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.
VAKOROSE 4:15 Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.
Nhanho yekupedzisira ndeyevanhu vakazvimiririra vanogona kupunyuka kubva mukereke yeRaodikia (7) vachidzokera kuEfeso (1) kuti tidzoserwe zvakazara kukerreke yekutanga, takasununguka kubva pakutadza kunobva pakugadziriswa kwezvakataurwa zvakasarudzika zvichibatanidzwa pamwechete. Takasununguka kubva pakutongwa nehutungamiri hwemunhu mumwechete.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:
20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu, akazarura mukova ndichapinda kwaari, ndicharayira naye, naiye ucharayira neni.
Jesu akamira kunze kwemukova wekereke yeRaodikia. Haana waakasarudza kana kutsaura. Izvi zvinosanganisira makereke eMharidzo, nehuzhinji hwawo. Anogogodza kumunhu akazvimiririra.
Tinokwanisa kuita chinangwa chimwechete nhasi: tinofanira kudzokera kuEfeso kwakatangira nguva dzemakereke. Tinofanira kuita nekutenda chete zvakanyorwa muTestamente Itsva.
Chero mazita emaguta anogona kuturikirwa zvaanoreva zvinotiudza nyaya imwechete yenyaya iri kuziviswa muzviitiko.
“KuEfeso (kudekara, nechinangwa), kuSimirna (kuvava, rufu), kuPergamosi, (wanano yakazara),kuTiyatira (mukadzi anotonga), kuSardisi (vakapunyuka), kuFiradefia (rudo pakati pehama munaShe), kuRaoikia (kodzero dzevanhu)”.
Nguva yekereke yekutanga totenda Pauro nemapostora, yaive nechokwadi asi mumashure mekufa kwemapostora, vatendi vakadekara vakavarairwa. Vaive nechinangwa chekutevera Magwaro, asi vakashaya shungu uye kuneta pamusoro pemazano evanhu akavakurira akaramba achipindira. Hutungamiri hwevanhu pahwakatanga kutonga pamusoro pekereke mwari akasimudza kurwadziswa nekuurayiwa kwakaita kuti vapararire kutonga kwevanhu kusabate zvakazara pakereke. MaKristu anosvika mamiriyoni matatu akauraiwa muRoma nekuda kwekuurayiwa kwakaoma uye kunorwadza uku. Kurwadziwa, kuvava nerufu kwakava hama dzemaKristu apo hushe hweRoma hwakaedza kuvaparadza. Mubati weRoma Constantine akamisa kuuraiwa kwevanhu uku nekumanikidza kereke kuti iwanane kana kuroorana zvakazara nezvematongerwo enyika. Akamanikidzawo kereke kuti iroorane zvakazara netsika dzechipegani kuti mapegani anzwe akadekara mukereke. Zvakafanana nekutaura kuti 25 Zvita, zuva rakazvarwa Mwari wezuva, raivewo zuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari, Jesu. Zvino hushe hweRoma hwakaparara pasi pekurwisa kwemarudzi evatorwa, Pope weRoma akasimuka kuva nesimba apo marudzi evatorwa akatanga kuvimba naye kuti agadze madzishe avo, zvakabatsira kununura madzishe aya kubva pakuurayirwa chigaro. Munhu akazodzwa neRoman Catholic chete ndiye aigona kuva mambo ari pamutemo. Saka madzimambo evatorwa akatanga kuchengetedza kereke yeRomanCatholic yakabva yazosimuka kuva nesimba ikaguma yakutonga Europe zvakazara. Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechokwadi inodaidzwa kuti Mwenga waKristu.
Kwakabva kwauya Rumutsiridzo pakauya Martin Luther kuGermany achitungamirira vakapunyuka vakaramba joko rechiCatholic, vakapind muboka raipikisa chiCatholic. John Wesley akabva atanga kuparidzira achibatsira vaya vaive vabuda mukereke. Izvi zvakaunza nguva huru yemamishinari umo rudo pakati pehama munaShe rwaiitwa nemamishinari kuhama dzavo dzechipegani rwakavatora kuenda mhiri kwemakungwa kunoshanda nekufa mukuedza kwavo kukuru kutendeutsa nekuunza ruponeso kuvaHedeni.
Kwakabva kwauya nguva yedu yechimanje manje isina kugadzikika nehondo dzayo mbiri dzepasi rese dzairwadza nekutyisa, kusimukira munhau dzetekinoroji, kugadzirwa kwezvinhu kwakawedzerwa nehupfumi, nekufunga kwakatambanuka mumaunivhesiti “kwakazivisa” ivhorusheni neBig Bang zvakaparadza kutenda kuBhaibherI. Vachibvisa meso avo pana Mwari, vanhu vakazadzwa nerudo rwekushandira kodzero dzavo nekufanira kwavo kurarama muzvivi pavanozadzisa zvido zvemakaro avo nekuzvifungira ivo chete. Kodzero dzevanhu dzakaita kuti vanhu vazvirevere kodzero dzekusarudza nzira dzekurarama nezvitendero zvavo ivo nekukwanisa kupinda chero kereke yavanoda kuenda kubva pamakereke anodarika 45000 akasiyana siyana kana masangano avanenge vada.
MaKristu anokoshesa kodzero dzavo dzekusimudzira, kukudza, nekutever mufundisi kana pasita wavanoda ivo. Sarudzo dzavo dzekuturikira zvakataurwa nemunhu vachizvidaidza kuti Mukuru wavo. Saka vashoma kwazvo vachatsvaga kudzoserwa kuchokwadi chekutanga chedzidziso dzemapostora sezvadzakanyorwa muTestamente Itsva. Zvinosuwisa, nguva yakaropafadzwa asi iine rima, yakapofomadzwa nehupfumi nekuziva kwevanhu, inopfiga Shoko raMwari Musoro wavo wechokwadi ari kunze kwemukova wekereke dzavo. Mukati mekereke mune umwe musoro, mufundisi kana pasita. Asi mukati mune rima nekuti chiedza chakamira kunze.
JOHANE 3:19 Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Munyika yakadaro nguva yekutambudzika kukuru ichaputika sedutu guru remhepo nemvura zhinji nekudengenyeka kwenyika.
ZVAKAZARURWA 1:12 Ndikatendevuka kuti ndivone inzwi rakataura neni. Ndakati ndatendevuka, ndikavona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama;
ZVAKAZARURWA 1:20 ... Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.
Nguva dzese tinenge tisiri patinodiwa kuti tive tiri naMwari. Hatitarisi divi ratinotarisirwa naMwari kuti titarise. Kuti aone izwi rinotaura, Johane aitofanira kutendeuka. Kutendeuka oenda nerumwe rutivi mucherechedzo wekutendeuka kuzvarwa patsva. Kiyi yebudiriro yemweya kutendeuka kasingaperi. Tine kutadza kwakawandisa kwazvo kudarika zvatinofungira. Asika nguva yedu ibofu, asi hatizvizivi. Tinofunga kuti tinoziva kwazvo.
ISAYA 55:9 Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
Pese panoziviswa chimwe chinhu naMwari kupfurikidza Bhaibheri chinenge chiri chinhu chakasiyana kwazvo nezvatinofunga. Saka tinofanira kutendeuka nguva dzese kubva kunzira dzatinofunga nadzo. Nekuti kufunga kwedu hakugoni kusvika pahwaro hwemafungiro aMwari.
RUKA 17:10 Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.
Bhizimisi pasina rinotokupedzera mari pachinzvimbo chekuiwedzera. Sezvo Bhaibheri richiti tiri varanda pasia zvinoreva kuti zvisinei nekuti tinoedza zvakadii, tinoita zvakaipa kudarika zvakanaka zvatinoita. Tine zvitendero zvakaipa zvakawanda zvakaipa zviri mundangariro dzedu zvatakanongana nazvo kubva muzvinyorwa, kumaprista, mapasita nevamwe vanhu, nedzatinoti zaruriro dzakanaka dzatiinadzo. Saka kufungak uti takangwara kwazvo, titori varanda pasina kuna Mwari kurasikirwa kukuru muhushe hwake. Nyasha dzake dzega ndidzo dzinogona kutisesekedza, kwete mabasa edu nekufunga kwedu kwakachenjera.
ZVAKAZARURWA 1:13 napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga napachifuva nebhanire rendarama.
Chigadziko chemwenje minomwe chinomiririra nguva nomwe dzemakereke. Munhu mumwechete ndiye anoonekwa. Jesu. Hakuna munhu anoonekwa pamwechete naye. Hakuna munhu anogona kukwikwidza naye nechero nzira. Johane haana kuona Pauro, kana William Branham. Isu maKristu tinofanira kudzidza kusimudzira Jesu pamusoro pevamwe vanhu vose. Jesu ari pakati pevanhu ake mukati menguva nomwe dzese dzekereke. Zvese zvinosangana nemaKristu, Jesu aripo kuvabatsira kutsungirira mukuedzwa kwavo kwese. Jesu ndiye munhu mumwechete aripo nguva nomwe dzese. Munhu mumwechete, zvisinei nekuti ane mweya wakadii, anongorarama kwekachidimbu kenguva imwechete yekereke. Saka hakuna munhu anogona kukwikwidza naJesu.
ZVAKAZARURWA 1:14 Musoro wake nevhudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando; meso ake akaita somurazvo womoto;
Wigi yeshinda chena inogadzirirwa mutongi. Ivhi dzinotaura kukura pazera asi bvudzijena rinotaura ruzivo. Hatifaniri kutongera vamwe Jesu ega ndiye ane ruzivo rwekuita saizvozvo.
JOHANE 5:22 Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose,
Jesu achatitonga semunhu, kwete saMwari. SeMunhu pamwechete nesu, anotinzwisisa.
JOHANE 12:48 Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.
Tichatongwa maringe zvakanyorwa muBhaibheri.
Meso ake anopfuta moto. Mutongo wake uchange wakaoma. Meso ake anotarisa mukati kati memunhu kuti aone mifungo yake nezvinangwa zvake. Kana tikasatevera Magwaro zvakazara tichave mudambudziko guru.
Kutaura kumwechete ndiko kuchasvika pachigaro cheKutonga: “Zvakanyorwa zvichinzi ...” kana zvisina kunyorwa muBhaibheri, siyanai nazvo.
ZVAKAZARURWA 1:15 tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira; inzwi rake rakanga rakaita senzwi remvura zhinji.
Tsoka dzakaita sesafuri.
DEUTERONOMIO 28:15 "Asi kana uchiramba kuteerera inzwi raJEHOVA Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako.
23 Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare.
Ndarira yakaoma, mucherechedzo wekutongwa. Iye pachake akasangana nekurwadziwa kukuru kwerufu kuti adyare chokwadi. Kuedzwa kunotyisa kwekutenda kwake kwaive kwakaita sekuti aive afamba nemumoto wegehena achifambira isu sezvo akarwadzisirwa zvivi zvedu akatakura zvivi zvedu mugomba remoto weGehena kunozvirasira kuna Satani. Asi izwi rake rinopa hupenyu sekunyorovesa kune kuturuka kwemvura pamusoro pevanotenda kuShoko rake. Asi izwi rake rinoita sedutu guru rekutongwa rinouya kune avo vasingatendi.
ZVAKAZARURWA 1:16 Muruvoko rwake rworudyi wakanga akabata nyeredzi nomwe; mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka kwose; chiso chake chaiva sezuva rinopenya nesimba raro
VAEFESO 6:17 Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;
Shoko raMwari ndiro munondo watinorwa nawo, kwete nevanhu panyama kuti tivauraye nyama yavo, asi kuti tiuraye mazano avo akaiswa naSatani mupfungwa dzavo. Ihondo yemashoko, chokwadi chichirwa nenhema.
Munondo unocheka nekwese unocheka kutadza kwedu sekucheka kwaunoita kutadza kwevamwe. Chokwadi chinorodza kunocheka kweTestamente Yekare nekunocheka kweTestamente Itsva. MaTestamente ese ari maviri anofanira kusangana pamwechete kana tichizotaura kuti tine chokwadi.
Chiso chake chakaita sezuva, chichipenya mukubwinya kwaro. Jesu ndiye Shoko raMwar uye hatigoni kupokana naye. Kubwinya kwake, ruzivo rwake, muenzaniso wake zvinokurira kuedza kupi nekupi kungaedzwe nemunhu. Zviedza zvedu zvinogadzirwa nevanhu zvinongojekesa kanzvimbo kaduku. Zuva rinopa chiedza nyika yese apo nyika inotenderera pariri. Chiedza chezuva hachitengeswe. Bhaibheri reKing James harina kuisirwa miganhu nemutemo wekopiraiti. Chero munhu anokwanisa kurinyora achitevedzera zviri mariri. Hakuna anogona kuisa mutemo wekopiraiti paShoko raMwari. Mamwe maBhaibheri emamwe mavhezheni anochengetedzwa nemutemo wekopiraiti nekuti mifungo yevanhu. Saka Shoko raMwari rinovhenekera munhu wese, sezuva. Chiedza chevanhu chakajeka chakafanana nemazano echitendero akajeka – zvingori zviedza zvine muganhu zvinogara kusvikira girobho ratsva.
Bhaibheri ndiro Rwizi rwehupenyu. Musakanganisike pakati pekadziva kezvakataurwa nemunhu mozvidaidza kuti chokwadi.
ZVAKAZARURWA 1:17 Ndakati ndichimuvona, ndikawira pasi patsoka dzake sendinenge ndafa; akaisa ruvoko rwake rworudyi pamusoro pangu, akati: kwandiri usatya, ndini wokutanga nowokupedzisira.
Muhuvepo hwaJesu, muprofita mukuru Johane akava munhu pasina. Kana tikasvika pahuvepo hwaJesu chaipo tinofa kuzvivi zvedu nemifungo yedu. Ruvoko rwake rwerudyi mucherechedzo wesimba.
MATEO 26:64 Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
Simba raMwari rinotanga kuwedzera kushana kana tikawedzerawo kufa kuzvivi zvedu nekuda kwedu. Takazadzwa kwazvo nerudo rwekushandisa mazano edu netsika dzedu zvekuti kushingirira kwedu kubatira Mwari hakuna maturo kwaari. Kana tikafa kuzvivi zvedu, Mwari anogona kutishandisa kuzadzisa kuda kwake, nekuti hatigoni kutakura kuda kwaMwari neruzivo rwedu isu. Kubatira Mwari, anofanira kugona kutifambisa nenzira dzatisingadi kufamba nadzo. Ndicho chikonzero nei tichikundikana kana tikasarudza kereke yatinoda isu. Ndiko kuda kwedu, kwete kuda kwake.
“Ndini wekutanga nowekupedzisira”-- Zvakare izvi zvasimbiswa. Bn Nguva yekereke yekutanga yaivenechokwadi. Chokwadi chakabva charasika. Munguva yekereke yekupedzisira chete ndiyo inodzorerwa Mwenga kunosvika pakutenda zvaitendwa mazviri nezvakadzidziswa nenguva yekereke yekutanga. Hatifaniri kuva nemazano akajeka epfungwa dzedu tega. Hatifaniri kusimba nekuturikira kwakachenjera kwemakereke kusina kubvira kwatendwa makuri nevekereke yekutanga. Hatifaniri kutevera munhu. Chatinogona kuita chete, kana tichida kufadza Mwari, kutevera dzidziso nemienzaniso yekereke yeTestamente Itsva, tova nechokwadi chekuti hatiwedzeri twedu “twakachenjera” kune zvavakatenda mazviri. Tinofunga kuti takachenjera.tinofunga kuti kuturikira kwedu kwatinoita zvakataurwa kwakachenjera. Asi tinozvinyengera. Ruzivo rwedu rwakafanana nemwenje wechibani. Hatigoni kuenzanisa chiedza chechibani nechiedza chezuva. Jesu ega sezuva ndiye akajeka. Bhaibheri rega ndiro rinofanira kuva mucherechedzo wedu.
ZVAKAZARURWA 1:18 naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira ndiri mupenyu nokusingaperiperi; ndinekiyi dzorufu neHadhesi.
Zvakare, Jesu anosimbisa kuti mupenyu munguva yekereke yake yekupedzisira, anotaura nezverufu rwake nerumuko rwake zvakavamba kereke yekutanga. Saka anoda kuti nguva yekereke yekupedzisira kuti ifanane nenguva yekereke yekutanga nekuti chokwadi chakaziviswa munguva yekereke yekutanga hachishanduki, nenkuti ndicho chichava nzira yakaparidzwa naPauro nevapostora musimba rerumuko. Tinofanira kudzokera pamienzaniso yavo nedzidziso dzavo. Kuturikira kwedu kwemazuvano, kana kusina kuparidzwa nekereke yekutanga, kungori kurasika.
Jesu akaenda kunzvimbo yevakarasika akanokunda Satani, akamubvisa simba rake raanaro pamusoro perufu neGehena. Kubva ipapo hakuna muKristu anofa kunze kwekunge Jesu atendera. MaKritu haafaniri kutya rufu, sezvo ruchiitika kana Mwari atendera, vakafa ivavo vanenge vari mukuda kwaMwari.
Nguva yekereke yechitatu neyechina dzichaona kereke yemaKristu ichipinda muhunyengeri hwezvechitendero, tsika dzevapegani, nezvematongerwo enyika zviripo chetekubereka rufu pamweya. Asi Jesu ane makiyi erufu negehena, saka zvese pazvakaita sezvarasika munguva dzerima, aizozarura misuwo yeruzivo rwevanhu zvaizotungamirira kunosvika pakusimuka kwedzidzo, hunyanzvi munezvekudhinda nekushingirira Rumutsiridzo kuti vadzose ruponeso rweBhaibheri nekutenda zvakazogumisa Nguva yeRima. Kururamisirwa nekutenda kwaive kwatanga nguva yekereke yechishanu. Iyi yaive nhanho yekutanga tichienda pakunodzorera kereke kudzidziso dzeTestamente Itsva dzakatangwa nemapostora. Simba rechiKristu riri pakudzokera kwayo kune zvakatendwa nekereke yekutanga.
ZVAKAZARURWA 1:19 Naizvozvo nyora zvawavona, nezviripo, nezvichazovapo shure kwaizvozvi;
Johane anofanira kunyora zvaakaona muzviratidzo izvi zvinotsanangura “zvinhu zviripo”, chimiro chitori nemakereke manomwe nenzira dzinoshamisa idzo maitiro emakereke manomwe aya anozivisa nhorondo yenguva nomwe dzemakereke “nezvichazovapo”, apo makore 2000 enhorondo anoziviswa. Pakarepo aive akutokwanisa kuona nzira yaitsanangurwa nayo kereke yekutanga nezviito zvekereke paEfeso. Aikwanisa kuona kuti hutungamiriri hwevanhu hwaisvibisa sei kereke yekutanga, nekutungamirira vanhu kubva padzidziso dzemapostora.
III JOHANE 1:9 Ndakanyorera hangu kereke: Asi Diotrefe unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10 Naizvozvo, kana ndichivuya, ndichayevudza mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchire hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
Mutungamiri wekereke yekutanga uyu, aiita hunhu hwakangofanana nehwapasita kana mufundisi nhasi, kutonga kereke, kuramba Magwaro akanyorwa nemapostora, anodzinga vanhu kubva mukereke kana vakapokana nezvaanotaura. Johane anotipa muono wakajeka panzira inozoshandiswa nehutungamiriri hwevanhu kutonga kereke. Waive usiri mufananidzo wakanaka.
Asi Johane aiziva kuti kereke yekutanga yaive nechokwadi, kune avo vaida havo kutevera chokwadi.
Johane akazvizivisa semukuru. Vakuru, vakawanda, kwete mufundisi anotonga kuti anotonga kereke. Johane haana kutaura pamusoro pechinzvimbo chake chehupostora. Aiedza zvakanyanya kusimbisa kuenzana kwehama munaShe. Kwete tsika dzevaNikoraiti dzekusimudzira munhu anotungamira pamusoro peungano nekuti anozvidaidza kuti pasita kana mufundisi.
III JOHANE 1:1 Mukuru naGayo, mudikanwa wandinoda nezvokwadi.
4 Handinomufaro unodarika uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.
“Vana vangu”. Vaya vanotevera dzidziso dzemapostora, sezvo vanyori veTetamente Itsva chete ndivo vaive nesimba rekunyora Shoko raMwari.
Johane ndiye akazosarudza mabhuku akaumba Testamente Itsva. Mumashure mekufa kwemamwe maprofita ese uye vanyori veTestamente Itsva, Johane ndiye aive mupostora wekupedzisira aive asara panyika, munhu wemweya aive chadzera chinopfuta aikwanisa kufamba nesimba rinoshamisa pakati penzvimbo yedu yevenyama yenguva denga nenyika nenzvimbo yepamusoro soro asi yakavanzwa yemweya yeKudenga. Iye ega ndiye aive pedyo kwazvo naJesu, sezvo akadzidziswa naJesu,kuti awane kurudziro yakafanira kuti aite sarudzo dzakakosha idzi. Akanga akaropafadzwa nechipo chakanakisa chekugona kupatsanura nekusarudza vanyori vasere veTestamente Itsva. Kubva nguva iyoyo, hakuna umwe anogona kuwedzera chero chinhu kuBhaibheri.
Mweya yedu inoda sarudzo dzaakaita pamaBhuku eTestamente Itsva. Johane akasarudza zvakanaka.
MIKA 5:5 Zvino kana iri chirikadzi cha yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inovimba naMwari, inogara ichikumbira nokunyengetera vusiku namasikati Lye uchava rugare rwedu, kana maAsiria achipinda munyika medu, kana achitsika mudzimba dzedu dzovushe, tichamutsa vafudzi vanomwe namachinda maserepakati pavanhu kuti varwe naye.
Hushe hwakaipa hwevaAsiria hwaive hwakaipa huine nyota yeropa hwaive mucherechedzo waDiaborosi. Kereke payakagamuchira vanhu vanotungamirira yaingove nyaya yenguva apo vanhu vaizosimuka kuva nesimba mukereke vanhu vakanaka vowodzwa nekuda kwerudo rwesimba nepfuma. Satani aizosimuka pamusoro pekereke nepfuma yayo nezvivakwa zvayo zvakanaka. Mugore 312 AD mubati Constantine akapa muzinda weLaterani wakavakirwa pachikomo cheCaelian kuna Bishopu weRoma ndiko kuchiri kugara Pope nanhasi. Mumakore akapoteredza 1500 Vatican yakavakwa muRoma nezvivakwa zvayo zvakanaka zvakawanda. Kereke yeRoma yakabva yateya nheyo dzezvairi nhasi pazivakwa zvinoitirwa vatungamiri vayo vepamusoro. Vemasangano havana kunonoka kutevedzera muenzaniso uyu wezvivakwa zvehutefetefe zvavanovakira vatungamiri vavo. Asi Satani nekukasika aizotenderera muzvivakwa izvi ozvigadzirira musha wakasununguka. Satani anofarira zvivakwa zvakanaka zvepamusoro-soro.
Asi Mwari aizosimudza varume vasere kuti vamiririre chokwadi. Ava ndivo varume vasere vakanyora Testamente Itsva. Mateo, Marko, Johane vakanyora Evangeri. Ruka akanyora Bhuku raMabasa avapostora. Pauro akanyora kubva kunavaRoma kusvika kunavaHeberu. Jakobo, Petro naJudasi. Johane akabva anyora zakare maBhuku ake matatu ekupedzisira, neBhuku raZvakazarurwa zvaJesu Kristu.
Mwari akabva aronga vatumwa vanomwe kuti vauye nguva dzakasiyana siyana munhorondo yekereke, mukati menguva nomwe dzemakereke, kuti vatungamirire nguva nomwe dzemakereke, kuti atungamirire mafungiro evarume vanomwe kuti umwe nemumwe wavo agone kubata senhume kana mutumwa kunguva yekereke yake. Pauro akabatsirwa kunyora maBhuku ake eTestamente Itsva. Vamwe vatanhatu umwe nemumwe wavo aizobatsirwa nemutumwa akanangana nenguva yake, achiziva kana kuti asingazivi kuti ari kubatsirwa, pavaishanda nesimba kudzorera kereke kunotenda zvakatendwa muTestamente Itsva. Mutumwa unhume inobva kudenga. Nekuti vanhu ava vaive pasi pehutungamiri hwevatumwa, Mwari akatora varume ava sevatumwa vaMwari akavadaidzwawo kuti vatumwa, nekuti vakaunza mharidzo yeKuda kwaMwari kuvanhu venguva yeumwe neumwe wavo.
Saka paizova nehondo inoenda mberi pakati pevanhu vanotungamirira mukereke vanoda kwazvo kuva vakakosha vachiita zvitendero zvavo netsika dzavanoda ivo, nevatendi vechokwadi vakafa kuzvido nezvivi zvavo, vasina kubvira vada kuva chiro munyika, vaive vakagutsikana nekutevera chokwadi sezvachakanyorwa nemapostora.
ZVAKAZARURWA 1:20 Zvakavanzika zvenyeredzi nomwe dzawavona muruvoko rworudyi rwangu, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe ndidzo kereke nomwe.
Munhu aitungamirira wekutanga kunguva yekutanga aive Pauro, akagamuchirwa semutumwa nevanhu, zvisinei nenekumwe kutadza kwaaimboita panyama. Zvichida meso ake aive ambokuvadzwa nekutarisana neMweya Mutsvene wakazviratidza kwaari seChiedza chinopenya munzira yake achienda Damasiko.
VAGARATIA 4:13 zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Evhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama;
14nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muidzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
Mwari aidaidzawo munhu mumwe nemumwe waakasarudza kutuma kunguva imwe neimwe kuti, mutumwa, Nhume, Nyeredzi, Chiedza chinopfuta chine chokwadi chezuva iroro.
Zvino chigadziko chemwenje minomwe chinomiririra nguva nomwe dzemakereke mwenje mumwe nemumwe wakamiririra nguva yekereke.
ngatiteverei nhorondo yekereke tichishandisa chigadziko chemwenje minomwe kumaJuda:
Pazuva rePentekositi marimi emoto unoshamisa wakatungidza nguva yekereke yekutanga.
Ndiyo kereke yaMwari yaive yakanakisa, sezvakatsanangurwa muBhuku raMabasa. Ndiyo yega kereke yaive nenheyo dzakasimba.
Mwari akatanga kereke yake nenzira yaaida kuti ive iri.
Izvozvi akuida nenzira yaakaitanga iri.
Hwaro hwakabva kwadonha pakapindira hutungamiri hwevanhu munguva yekereke yechipiri. Chiedza chekutanga chemweya cheEvangeri chaive chadzikira apo mifungo yevanhunetsika zvakapindira mukereke.
Mubati weRoma Constantine akazivisa zvematongerwo eyika nemazano emapegani mukereke. Saka chiedza chakawedzera kudzikira munguva yekereke yechitatu. Kereke yakarongwa nehunyanzvi hwevanhu yakanga iri pasi paPope yakakura.
Zvematongerwo enyika zvaive nekuuraiwa kukuru zvakasimudzira kereke munguva yechina apo kereke yeRoma yakafamba nzira yayo kuti ipinde pamasimba muEurope yaive yakanganisika munguva yekupamba kwemarudzi evatorwa.
Kwakapotsa kusara kusina kana chokwadi sezvo maBhaibheri akapiswa.
Chakaipa chaive mukereke chaive chekuti vaive vabva padzidziso dzeTestamente Itsva dzekereke yekutanga.
Asi Mwari akatanga kudzorera kereke kuchokwadi cheTestamente Itsva.
JOERE 2:25 Ndichakudzoseraizve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nomupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatuma pakati penyu.
Kuchaita nhanho ina dzekudzirerwa kuti chakadyiwa nemuvengi chidzoswe.
Ezekieri akataura zvimwechete zvo.
Mvura mucherechedzo weShoko raMwari nekuda kwehupenyu huri mariri.
Nhanho imwe neimwe yekudzorerwa yaidzosa chokwadi chakadzama.
Luther akadzosa ruponeso kupfurikidza kutenda munguva yekereke yechishanu.
Wesley akadzosa hutsvene nekuparidzira munguva yekereke yechitanhatu.
“HUPENYU” (LIVE) izwi rinopikisana nerekuti “CHAKAIPA” (EVIL). Kana mukaperetera izwi iri muChirungu richibva nekumashure EVIL munowana LIVE.
Chakavanzika chiri pashoko rekuti “Live” “Hupenyu” rudo rwekudzokera pakutenda kwekutanga kwakaitwa nemapostora.
Pentekositi yakadzorera zvipo zveMweya munguva yekereke yechinomwe.
Asi izvi zvaive zvisina kukwanira. Jesu akati tinoda Mweya neZvokwadi.
JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.
Munguva yekereke yechinomwe tinoda kudzorerwa kunotenda zvitendero zvekutanga zveBhaibheri zvekereke yeTestamente Itsva. Nguva yekereke chinomwe inofanira kufanana zvakazara nenguva yekereke yekutanga.
Mbeu inokohwewa inofanira kufanana nembeu yakadyarwa.
Dzidziso dzinofanira kufamba nemuMagwaro akati wandei.
EZEKIERI 47:3 Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.
4 Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.
5 Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.
Padanho rimwe nerimwe rekudzorerwa kwechokwadi hudzamu hwezaruriro yeBhaibheri hwaiwedzera kusiviswa. Nguva yekupedzisira waive muono wakadzama kwazvo pamusoro peBhaibheri. 1. Kururamisirwa. 2. kunatswa. 3 Rubapatidzo rweMweya Mutsvene. 4. kudzorerwa kwechokwadi.
Ezekieri akaonawo munda wemarangwanda.
I zvaizotora nhanho ina kuti vararame zvakare. Marunda. Nyama. Ganda. Nemweya.
EZEKIERI 37:3 Akati kwandiri, "Mwanakomana, mapfupa awa angararama here?" Ndikapindura, ndikati, "Imi Ishe JEHOVA munozviziva."
6 Ndichaisa marunda pamusoro penyu, nokuuyisa nyama pamusoro penyu, nokukufukidzai neganda, nokuisa mweya mukati menyu, murarame; zvino muchaziva kuti ndini JEHOVA.' "
Ipapo ndipo panenge papedza Mwari kudzorera kwake.
Saka chigadziko chemwenje minomwe, nemwenje wacho wepakati uri ndiwo kereke yekutanga, chinotiudza nhorondo yekuti kereke yakatungidzwa sei neMweya Mutsvene ikabva yabva pachokwadi Mwari achibva atanga kudzorera achishandisa Rumutsiridzo rwaLuther rwunozoguma rwadzosera Mwenga kuchokwadi chakazara cheTestamente Itsva.