Nguva dzemaKereke - Tiatira, Nguva yeChina 606 -1520AD
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Nguva yekereke yekutanga yakabereka makereke ane maprista kana vamwe vanhu vanomatungamirira.
Nguva yekereke yechipiri yakabereka mabhishopu vaive pamusoro pemaprista kana vanhu vanotungamirira makereke muguta. Guta rimwe nerimwe raive nabhishopu waro.
Nguva yekereke yechitatu yakaona mabhishopu anokwana 318 achibatana pasi pemubati Constantine semutungamiri wekereke. Constantine akaenda kumabvazuva kuConstantinople akanopa simba nepfuma kuna bhishopu weRoma zvakaita kuti bhishopu weRoma ave mugwara rekunoita bhishopu mukuru muhushe hweRoma.
Negore 400 AD aizvidaidza kuti Pope kana Pappas zvinoreva kuti Baba.
MATEO 23:9 Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwechete ndiBaba venyu, ivo vari kudenga.
Nehushe hweRoma huchiwira pasi, Pope mugore 450 AD akazvidaidza kuti Pontiff kana kuti muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi kuitira kuti agone kuita nzira dzake pakati pemarudzi evatorwa echipegani vaipamba hushe hweRoma.
Nguva yekereke yechina, sezvo hushe hweRoma hwaive hwawira pasi muna 476 AD, yakamanikidza Pope kutendeukira kumarudzi evatorwa vaive vatora hushe hweRoma. Nguva yekereke yechina iyi yakaona Pope achisimuka kuva nesimba muEurope akatanga kurwadzisa vose vaisatenderana naye.
Akasimuka kuva nesimba kubva pakutaura kuti aive nesimba rekugadza madzimambo evatorwa akavakurudzira kuti Petro aive nemakiyi edenga. Sezvo Pope aiti aive atsiva Petro, zvaive zvakakosha kumarudzi evatorwa kuti vazviwisire kuna Pope. Kana vakasaterera Pope Petro aisazozarura mukova wedenga kwavari.
Nekunge vawanana nezvematongerwo eyika muhushe hweRoma paKanzuru yeNicaea muna 325 AD kuti vawane simba rezvematongerwo enyika pamusoro pevadzivisi vavo, kereke yeRoman Catholic haina kubvira yaziva kuti hushe hwekumadokero hwaitoparara uye hwaizowira pasi nekuda kwekumanikidzwa nemarudzi evatorwa uye kurwadza kwehondo dzemarudzi nekukundikana kwevabati vasinesimba asi vaine hutsinye. Vakarasirwa kure kudziva rezvaivawira, makore makumi maviri ekurwa muItaly pakati pemaGiriki nerudzi rwevatorwa rwemaOstrogoth pakati pegore 535 AD na 554 AD, hazvina chazvakagadzirisa asi kuparadza nyika yeItaly zvakakonzeresa nzara, hosha nenhamo zvakaunza Nguva yeRima. Venhorondo vanoti makumi emamiriyoni evanhu vakafa asi zvakabvisa maOstrogith aisatenda kuTiriniti kubva muItaly, vakasiya Roman Catholic isina vaipikisa dzidziso yayo muItaly.
Kereke yeRoma yakatora zviitiko zvakaiwira zvayaive isina kutarisira nenzira inoshamisa yekupinda munezvematongerwo enyika vakava nesimba munezvechitendero pamusoro pemarudzo evatorwa.
Pakati pegore 634 - 720 AD maMosiremu echiArabu akapamba Syria, Palestine, Egipita North Africa neSpain. Izvi zvakaparadza kubata kweRoma pagungwa reMediterranian paive pakurira maguta ayo kupfurikidza kutengeserana kwekunyanza.
VaSravu vakabva vadambura nzira dzekutengeserana dzinoenda kumabvazuva.
Nzvimbo dzeruvara rwepepo dziri mumepu inotevera dzinoratidza nzvimbo dzevaMosiremu.
Paive pasina imwe nzira kuvanhu vekumadokero kunze kwekuenda kumusoro, vachipinda muEurope. Marudzi evatorwa aive nemirairo yawo saka hushe hweRoma, hwaive nemurairo mumwechete kumunhu wese, hwakaparara hukatanga kuita nyika yetumarudzi marudzi sezvo rudzi rumwe nerumwe rwevatorwa rwaive nemirairo yarwo. Pavakarasikirwa nesimba pamusoro penzvimbo dzemuMediterranean kumaArabu echiMosiremu pakati pegore 634 – 720 AD, maguta aisimba nekutengeserana kwekugungwa akatanga kuparara nzvimbo dzekurima dzikabva dzava matsime avo ehupfumi apo kutengeserana kwakaenda kumusoro kuchibva mugungwa reMediterranean. Mamisheni (aidaidzwawo kunzi maabbeyi kana kuti priories kana maconvents) nezvikoro zvawo uye zvipatara zvawo akava nzvimbo dzepakati pezviitiko zvese uye kurima maruwa akabva atanga kukura akamatenderedza. Mamonku kazhinji vaive vadzidzi vaive vakadzidziswa mabasa akasiyana -siyana kana kurapa. Vakachenesa masango vakatanga kurima kuitira kukwezva vemaruva vazhinji vaitevera mienzaniso yavo. Misheni yeRoma yekutanga yakatangwa naSt Benedict paMonte Cassino, muItaly muna 529 AD. Nzira yavairarama nayo pamisheni apa yakakwezva vatendi vazhinji vaive vadzingirwa kure nezvivi uye huwori hwemakereke ekutanga uye kuipa kwehupenyu kwaive kwakonzereswa nemarudzi evatorwa vaive vapindira.
Paivakwa misheni, mamwe mamonku ayo aizobva ipapo onotanga misheni itsva. Muna 754 AD Pope akagadza mambo werudzi rwevatorwa wekutanga, Pepin werudzi rwemaFranks. Izvi zvakapa Pope rukudzo rukuru uye mamisheni emaAnglo Saxon aive muEurope yekumusoro yaive pasi paPope akawana rukudzo pakati pemarudzi evatorwa.
MaAnglo-Saxon aibva kuEngland akatanga zvinhu zvizhinji zvemamishinari muEurope yekumusoro. Vakatanga mamisheni nemakereke aizviwisira kumaPope. Varume vaviri vechiAnglo-Saxon, vakawedzera kukudzwa kwaPope uye kupararira kwechiRoman Catholic muEurope yekumusoro.
Willibrord mumishinari kuHolland uyezve kuvaDani pakati pegore 690 kusvika 737 AD akaparadzira chiRoman Catholic nekuzviwisira kwacho kuna Pope aigara kure kuRoma. Saka mamishinari echiAnglo-Saxon nemamonku akaita basa guru pakuwedzera kukudzwa kwaPope muErope yekumusoro panguva iyi.
Boniface aive mumishinari muGermany kubva gore 710 – 759 AD akatanga chiKristu chekutanga chakarongwa munzvimbo zhinji dzeGermany. Pope akamuita archibhishopu weMainz, ari pamusoro pabhishopu weGermany. Makereke echiFrank aive akazvimiririra aive adududza zvakanyanya, Boniface akaita basa guru kuadzosera panzvimbo nekuaunza pakuzviwisira kuna Pope. Kuita Pope aive kure ari mutungamiri kwakafadza marudzi evatorwa echiFrank vachibva vazviwisira kun Boniface nedzidziso dzake dzechiCatholic. MaFrank akafarira mutsetse wehutungamiri waivepo. Vachibva vateerera mamonku vaitererawo Bhishopu aitererawo Boniface aiteererawo Pope iye Pope aitererawo St Petro aive nemakiyi ekuzarura musuwo wedenga. Chaive chimiro chakanaka chinodakadza. Simba rakaiswa pamunhu mumwechete raive kiyi yekubudirira kwechimiro chemamisheni emuNguva yeRima. Vaiudzwa zvekuita kubva kumusoro, vanhu vese vachiita zvavaive vaudzwa kuti vaite.
Munzvimbo dzaive dzapambwa nerudzi vemaBurgundi, pakabva zita rekuti Burgundy kuFrance, kwakabva mamisheni mazhinji akaita mbiri akavakwa paCluny muna 910 AD naDuke William muBurgundy.
Misheni yepaCluny (mufananidzo kubva paWikipedia) yakabva yaonekwa sendiyo mutungamiri wemamisheni ese aive kumadokero.
Yaive yakabata chipope chete, chaive mukuneta nekushaya kurongeka chaive nemapope anopikisa aikwikwidza, mamonku aibva kuCluny akapararira achienda kumusoro munzvimbo dzinopisa dzeEurope kubva mugore 950 – 1160 AD kunovaka nekutonga mamisheni matsva 1200 Cluny ikabva yava ndiyo misheni yaive nekurudziro hurusa muEurope. Budiriro yavo yakabva pakuti mamisheni maduku ese aya aitongwa neCluny yaizviwisira kuna Pope weRoma. Pope aive kure airemekedzwa kwazvo nemadzimambo emarudzi evatorwa. Pope akati aive nesimba rekugadza munhu kuva mambo wemarudzi evatorwa. Saka vairemekedza mamonku nemabhishopu vaizvininipisawo nekuterera Pope. Rudzi rwemaBurgundi, totenda kurudziro yemisheni yepaCluny, rwakatanga nekusimbisa kutonga kwekereke yeRoma pamusoro penzvimbo zhinji muEurope.
Kutangwa kweCluny kwakapa vapoteri vaibva munyika isina kugadzikika pekuvanda, asi negore 1100 AD, hutsvene hweCluny hwakabatanidza vanhu. Nguva iyi yakakwanisa kuita vanhu maKristu kekupedzisira munzvimbo dzinopisa dzeEurope. Hwaro hwepamusoro-soro hwemamonku hwakafadza marudzi evatorwa panguva iyo mapope aive akadzikira kwazvo. Misheni yepaCluny muBurgundy yakaponesa chipope nekuchengetedza hwaro hwakanaka apo maPope aiderera kwazvo pahwaro hwavo. Marudzi evatorwa akaona mamonku kubva mumamisheni akatangwa neCluny. Vakafadzwa nezvavakaona. Vazhinji vemarudzi evatorwa havana kubvira vaona Pope, saka havana kudzikisirwa nehunhu hwaPope hwakaipa.
Mutumwa kunguva iyi aive Columba akadzidza ari pasi pevanhu vekereke vakanaka kwazvo vemuIreland akatanga mamisheni akati wandei munyika. Makore akapoteredza 563 AD iye nevamwe vake vaaifamba navo vakayambukira kuScotland vasati vagara pachitsuwa cheIona pedyo neScotland. Basa rake zhinji rechimishinari akariitira pakati pemaScot echipegani. Akaita mamisheni akazvimiririra uko vanhu vaikurudzirwa kurarama pedyo zvakanyanya nedzidziso dzeTestamente Itsva nepavaigona napo.
Mamisheni ane mbiri akavakwa nevateveri vake pachitsuwa cheLindistarne.
Columba aive chiedza chakajeka kuchokwadi cheBhaibheri zvekuti akafa muna 597 AD nguva yekereke yechina yakuda kutanga muna 606 AD nekuti Thyatira ndiyo yaive nguva yekereke apo chiedza cheEvangeri chakapotsa chadzima uye izvi hazvaigona kuitika kusvikira chiedza chake chakajeka chapera.
Nguva yekereke yechitatu yakaguma nekuedza kwaPope Gregory, mumwe wemaPope akasimba kwazvo, kubvisa kurudziro yaColumba muEngland nekutumira mamishinari eRoman Catholic kuKent muEngland.
Mugore 597 Augustine akasvika kuKent ari achibhishopu weRoman Catholic. Akatendeutsa maAnglo-Saxon akagadza mabhishopu pakati pavo. Kubva paCanterbury, akatonga pamusoro pemabhishopu aya. Ichi ndicho chaive chakavanzika kubudiriro yeRoma muEngland. Achibhishopu weCanterbury aive musoro wemasangano akarongwa nemamwe mabhishopu akadzidziswa basa akatumirwa mativi mana ari mamishinari achizviwisira kuCanterbury uye achibhishopu aizvininipisa kwazvo kuna Pope.
Paive nekurwisana kwaive pachena pakati pemamishinari aColumba akazvimiririra, nemamisheni avo makuru pachitsuwa cheLindisfarne, nevaive vaPope, kunyanya muhushe hweNorthumbria.
Senturi iri (600 - 700 AD) rakaonawo kutanga kwetsika dzechiKristu muEngland nebazi ravo guru kuNorthumbria, hwaive hushe hwepamusoro-soro hweChirungu panguva iyoyo, sezvakaratidzwa pamepu yeEngland iyi.
Apa mamishinari aColumba ekuCeltic vaibva kumusoro kwenyika nekumadokero, (Scotland neIreland) nemamishinari eRoma aibva kuzasi nekumabvazuva (Kent) vakasangana kuti vasarudze zvaizoitika munguva yekereke yechina.
Saka muEngland, Abbess Hilda akaronga musangano wesinodhi muna 663 AD pamisheni yake yemuWitby kuti mambo Oswiu wekuNorthumbria asarudze kuti vainatsa ndevapi. Achibhishopu weRoma akati Petro ndiye aive nemakiyi eDenga. Saka kana ukaterera mumiririri wake panyika, Pope, paunofa Petro anozozarura mukova weDenga kuti upinde. Vateveri vaColumba vakabvuma kuti Columba aive asina kiyi yakadaro. Saka mambo akasarudza ari kurutivi rwemaCatholic nekuti aida kuti Petro agomuzarurira musuwo wedenga. Raive gakava rakachenjera. Jesu ndiye Musuwo weDenga, asi aitaura kuti Petro ane makiyi uye anogona kusarudza kuti okuzarurira Musuwo here kana kuti kwete. Petro aizarurira musuwo weDenga avo vaizviwisira kuna Pope chete. Petro semuchengetedzi wemusuwo aisarudza kuti wopinda here kana kuti kwete akabva ava chirevo chakakosha kwazvo pakati pemarudzo evatorwa. Chirevo ichi chakavaunza pakuzviwisira kumumiririri waPetro panyika, Pope. Dzidziso yaPetro iyi yakagonesa Chicatholic kuti chipararire muEurope. Asi nekuti Petro aisarudza kuti wakaponeswa here kana kuti kwete, Jesu akabva abviswa pakuva Muponesi, Europe ichibva yashaiwa ruponeso ichipinda murima guru. Kwese kwakatendwa dzidziso iyi kana kuti kwete, Chiedza cheEvangeri chakadzima.
Mamonku ekuLindisfarne, vaive vasingazotambiri dzidziso yaPetro achisarudza kuti ndiyani anoponeswa, vakabva vakaenda kuchitsuwa cheIona, vakazoenda kuIreland. Vateveri vaColumba, vakaita saColumbanus naCatald, vakaenda vari mamishinari vakanotanga mamisheni akazvimiririra muFrance, Germany, Switzerland, nemuItaly nguva dzepakati (middle ages) dzichangotanga. Saka chiedza cheEvangeri chakasara chichingopfutawo pano neapo pakati pemapoka maduku akaenderera mberi achikurudzirwa nevateveri vaColumba vakaita chimishinari vachikurudzira vanhu kurarama nenzira dzeMagwaro.
Uku ndiko kuratidzika kwechigadziko chemwenje minomwe mukati menguva yechina yekereke. Chiedza chaive chatosvika pakudzima chaipo. Izwi rekuti “EVIL” “CHAKAIPA” rinoratidza kuti makereke aive abva padzidziso yemapostora vakanyora Testamente Itsva. Kereke huru yakarongwa nekuita kwevanhu yeRoman Catholic yaive yatanga kusimuka kuita simba guru. Uku kwaive kusiri kuda kwaMwari.
Iyi ndiyo yakava nguva yekuvaka mamisheni. Kereke yeRoman Catholic yakakurira marudzi evatorwa vachishandisa makiyi aPetro nekutaura kuti maPope ndivo vaive vamiririri vaPetro panyika, kunyange Petro asina kubvira asvika kuRoma.
Asi kana nhema dzikataurwa kakawanda, dzinopedzisira dzakuita kunge chokwadi mupfungwa dzevanhu. Saka Pope akatungamirira nyika ichipinda muNguva yeRima nemamishinari avo echiAnglo-saxon achienda kumusoro kweEurope. Vanonamata Roman Catholic vechiBurgundi, vaive vakazviwisira kwazvo kuna Pope, vakaparadzira mamisheni 1200 muEurope yese. Europe yese yaive yamumaoko maPope.
Kereke yeRoman Catholic ichitonga Europe, vakadzima chiedza, makore 900 erima akaputira Europe. Hupenyu hwaive hwakatonhora, huine rima, netsvina hwakazadzwa nezviyera yera. Vanhu vaive vasisageze. Zvirwere nehosha zvaive zvawanda. Makore airarama munhu nguva iyoyo akadzikira kuita makumi mana nemashanu. Hupenyu hwaive hwakaipisisa kereke payaive yakabata Europe. Zvematongerwo enyika nezvechitendero zvakabika chinhu chakaipa kwazvo.
Nei Roma yakaita kereke yakabata zvine simba Europe yekumadokero?
Pakutanga, paive nemaguta mana makuru aiti ane makereke akakosha, akabva kumapositora. Constantinople raive rakakosha nekuti ndiko kwakavakira mubati Constantine muzinda wake. Saka Roma yaingovawo imwe yemakereke mashanu akakosha.
MaArabu echiMosiremu akadzuuka achibuda murenje reArabia mugore 634 AD, makore maviri mumashure merufu rwaMuhammad, vakapamba Antiokia, Jerusarema, neAlexandria negore 641 AD. Vakafamba nepakati peNorth Africa vakapamba Spain negore 720 AD. Nzvimbo dzakapambwa nemaMosiremu dzakaratidzwa neruvara rutsvuku mumepu inotevera.
Antiokia, Jerusarema, neAlexandria aive ava maguta echiMosiremu. Roma neConstantinople ndiwo ega akasara. Saka Roma yakabva yasara iri kereke imwechete yakakosha muguta kumadokero. MaArabu akabva atonga gungwa reMediterranean zvakabva zvaparadza mabhizimisi eRoma ekugungwa. Constantinople yakatyisidzirwa nemaArabu saka vaisakwanisa kutumira mauto kunochengetedza Roma.
Nekurasikirwa nemabhizimisi ekugungwa, vanhu vakatanga kutarisana nenzvimbo dzekurima muNorth Europe. MaFrank vakaenda kumusoro kweItaly vaizoita basa guru rekusimudzira Pope.
Zvemabhizimisi zvakabva zvaenda kumusoro kwenyika kubva kuMediterranean zvichienda kugungwa reAtlantic. France, Holland neGermany dzaizokura kuita masimba munezvehupfumi pavaizodzidza kufamba mugungwa reAtlantic makore ana 1500 AD.
Mamisheni akawanda ari nzvimbo dzezvekurima nekudzidza muEurope yekumusoro.
MaLombard muItaly yekumusoro (nhasi uno inodaidzwa kuti Lombardy) vakatanga kuenda zasi vakananga kuRoma. MaLombard vakabata basa guru pakuparara kwehushe hwenyika yeRoma. Vakagara muLombardy kumusoro kweItaly asi basa ravo guru, mumuono mukuru waMwari, raive pavakafamba vachidzika zasi vachipinda muItaly vakatanga kuisa Roma panjodzi.
Njodzi yaive yatarisana neRoma iyi yakaita kuti Pope atsvage rubatsiro. Constantinople yaive ichiri yakabatikana ichiedza kugadzirisa njodzi yayaive yakatarisana nayo yemaArabu echiMosiremu. Saka dambudziko remaLombard rakamanikidza Pope kusarudza kukumbira rubatsiro kubva kurudzi rwevatorwa remaFrank.
Uku ndiko kwakava kushanduka kwezvinhu kukuru kwakaitwa naPope muNguva dzeRima.
Akafuratira mubati aive muConstantinople akaenda kune rumwe rudzi rwevatorwa kunotsvaga rubatsiro. Asi izvi akazviita nenguva yakaringana. Pepin aive meya aive nesimba wemuzinda naChilderic III aive mambo akaneta kwazvo wemaFrank.
Kudyidzana kwakanyuka pakati paPepin naPope. Pepin akabvisa mambo akaneta wechiFrank Pepin akaita kuti Pope Zachari abvume kumuita mambo mutsva mugore 751 AD. Zvino mugore 754 AD Pope Stephen II akaenda kuParis kunogadza Pepin samambo. Kekutanga Pope akagadza mambo werudzi rwevatorwa. Izvi zvakashandura Pepin kubva pakuva mudzvanyiriri akatora chigaro zvechisimba kuita mambo akasarudzwa naMwari zvekuti vana vake chete ndivo vaive vakugona kumutsiva pachinzvimbo ichi.
Pope akatorawo tsamba yaive yakanyorwa zvechitsotsi yaaiti yaive yabva kuna Petro achiudza Pepin kuti akurire maLombard vaive vaisa Roma panjodzi uyezve kuudza Pepin kuti ape Pope nzvimbo yenyika. Nekuti Petro aive kabata makiyi ekuti apinze vanhu Denga, Pepin aive akasungirwa kubatsira Pope maFrank akaenda kuItaly akanokurira maLombard. Akabva apa nzvimbo dzeminda kuna Pope dzaidaidzwa kuti Papal States. (zvakaratidzwa mumepu muruvara rwebhurawuni yakajeka kana kuti bhezhi). Mwanakomana waPepin Charlemagne, akazopamba maLombard akakudza Nzvimbo dzemaPope. Pope Leo III akabva agadza Charlemagne, mambo akaita mbiri pakati pemarudzi evatorwa, nekuita mubati mugore 800 AD, akapa Pope kukudzwa kukuru.
Aive ava, nekure, muKristu akakoshesesa.
Zvisinei, kuMabvazuva, kwaitora Mubati paByzantium (Constantinople) seMubati mukuru, vakaramba chigaro chaCharlemagne chaaive atanga chekuti Mubati weRoma Mutsvene, izvi zvakasimbisa vapikisi vavo, zvikakonzeresa kusawiririna pakati pevekumabvazuva nevekumadokero. Roma neConstantinople dzakava makereke anopikisana, imwe neimwe ichiedza kuva pamusoro.
ChiRoman Catholic chakabva chaita chitendero chakabata Northern Europe apo Constantinople yaive nekurudziro shoma kwazvo ipapo, zvinosuwisa, Roma yakabva yatanga kubvisa hupikisi hwese.
Asi kuti vauraye vanhu vaifanira kuva nemadzimambo nemauto avo vaizoterera Pope vouraya vavengi vaPope. Pope ndiye ega munhu aiti aikwanisa kugadza madzimambo izvi zvakamupa simba pamusoro pemarudzi evatorwa. Pope akaita chombo chine simba chekudzinga vanhu mukereke. Izvi zvaikwanisa kudzingisa mambo kudenga nekuti Petro aisazozarurira mambo akadzingwa musuwo. Madzimambo akatanga kutya Pope saka vaive vazvipira kumuterera nekuita zvese zvaanotaura.
Makumi emamiriyoni evanhu vakafa muNguva dzeRima munguva yeRumutsiridzo rwakatangwa nekereke yeRoma kuti isvibise Rumutsiridzo rwaLuther. Zvematongerwo enyika nechitendero zvakabatana kubereka mutambo mukuru werufu. Chidzidzo chino chichangobata zvishoma zvimbo mbiri dzakaitika kuuraiwa kukuru kwemaKristu.
MaWaldense, vakatangira muguta reLyons, vaida vana vavo chaizvo zvekusvika pakuvaisa kutsika yekuzvimiririra pazvavanoita. Ivo vasati vavapo kwakaita hupenyu hwakaoma kwazvo, tingati rufu rwemunhu aifira Shoko. Vakadzidziswa kubva vari vaduku kuti vashingirire mumarwadzo, kuzviwisira kuvatongi, asi vachizvifungira pachavo.
Vaitsvagwa kuti vaurawe, asi ropa ravo raidiridzira mbeu yakadyarwa, uye haina kukundikana kubereka zvibereko. Saka maWaldense akapupura pamusoro peShoko raMwari masenturi akati kuti Luther asati azvarwa. Vakapararira munzvimbo zhinji, vakadyara mbeu dzerumutsiridzo dzakatanga munguva yaWycliffe, dzikakura dzikadzika midzi mumazuva aLuther.
Kubva gore AD 1173 - 1560 maWaldense vaigara mumakomo eItaly eAlps vakashanyirwa nekuuraiwa kukuru kunotyisa kunokwana ka36. Vakapotsa vaparadzwa zvakazara serudzi, zvinyorwa zvavo zvizhinji zvikaparadzwa kubva pachiso chenyika. Kuti vapone, vakapinda mukati chaimo memakomo eCottian Alps. Zvisinei kutya kufa kwaive kwava mavari, vakatumira mamishinari kuEurope. Mepu inotevera inoratidza nzvimbo dzavakapararira vachienda. Vakaripira muripo mukuru sezvo vanhu vanodarika miriyoni rimwechete pakati pavo vakauraiwa.
Mukati menguva dzaive nerima nekuurayirwa chitendero, kwakawanikwa maWaldense akaramba hutongi hweRoma. MuTurini mugore 2015, Pope Francis akakumbira ruregerero nekuda kwekubatwa kwakaitwa maWaldense kwaive kusina kufanira vanhu.
Nzvimbo yechipiri yakaitika zviitiko izvi kwaiitwa makurusedhi echiCatholic aipikisa maAlbigense muFrance yekuzasi (kubva muna 1209 – 1229) pasi paPope Innocent III, Honorius III, naGregory IX. Iyi ndiyo yakava nguva yakadeuka ropa rakawandisa munhorondo yevanhu. Huwandu hweemaAlbigense vakafa mukati mehondo yemakore makumi maviri ehondo hwaifungidzirwa kuti hwaive pakati pemiriyoni rimwechete kana maviri. Nzvimbo yaive yakabudirira iine runyararo yavaigara yaive yaparadzwa zvakazara yangosara matongo.
Languedoc, nzvimbo iri muFrance yekuzasi, payakapambwa nevanhu vechiCatholic vaiita makurusedhi ava, zana rezviuru zvemaAlbigense rakafa!
Duke weAlva anonzi akauraya vanhu vaipikisa chitendero chake vaisvika 100 000.
Makore 350 ekupambwa kweSpain nemoto wayo nekurwadziswa kwevanhu ikoko kwakasiya vanga guru munhorondo.
Vanofira chitendero vanofa nemunondo, vachibaiwa panyama, mumapako, uye vanofa nenzara uyewo nekuda kwezvavanazvo panyika.
Nhorondo yechiKristu kubva pamusi wavakawana simba rekuuraya vapikisi vavo ndiyo yeimwe nhorondo yakaoma munhorondo dzese.
Munguva yekusimuka kwayo pamasimba, chiPope chakabvisawo maHeruri chinguvana gore ra493 AD richangodarika, maVhandari, gore 533 AD richangodarika nemaOstrogoth gore 554 AD, vose ava vaive vakazvipira kubatira kuchitendero chechiArian chaisatenda muTiriniti. Nekunge yatanga mhirizhonga munezvechitendero Evangeri rakawedzerwa kuipiswa kusvikira maKurusedha aive akapakata zvombo akafunga kuti vaizowana ruponeso kubva kuzvivi zvavo nekuuraya maMosiremu muParesitina. Mugore 1099 AD vakapamba Jerusarema vakauraya vaigaramo vaive maMosiremu, maJuda kana maKristu. Kurusedhi yechina, yakatangwa naPope Innocent III, yaive chinyadziso munhorondo yechitendero. Chokwadi chehutsinye chakawona vachiparadza guta remaKristu reZara, raive pasi peruchengetedzo rwaPope, zvichibva “pakushaya hanya” nekuti vaida mari. Vakabva vaputsira guta rese pasi vachisiya makereke chete.
Vakabva vaenderera mberi uye “mauto echiKristu” aive nehutsinye aya, vaiti vaive vachimiririra Pope, vakaparadza guta reConstantinople vachibata chibharo kuuraya mushungu dzavo dzechitendero dzaive dzakasvibiswa neropa (nemakaro asina kugadzikika ekuda hupfumi), zvisinei nekuti raive rimwe remaguta makuru echiKristu vakauraya vamwe vavo maKristu aive maGiriki vaigara muguta iri.
MaKurusedhi aive mucherechedzo wekuratidzira kunomwe kwakaitika mukati memakore 150 (AD. 1099 kusvika 1254) akaisirwa kusunungura Nyika tsvene kubva kumaMosiremu.
Mari. Kuuraya. Simba. Iyi yaive nguva yekurasika muchitendero, yakazadzwa neruchiva uye makaro. Asi zvese izvi zvaiitwa muZita raJesu Kristu. Kwaive kunyadziswa kwakazara kwaive kuchiratidza kuti rudo rwaMwari rwaive rwafa mumoyo yavo.
Vainyorwa muchinjikwa mutsvuku pazvombo zvavo zvekuzvidzivirira vachirwa asi izvi hazvina kuviga Diaborosi aive mumoyo yavo.
Saka kereke yekutanga yaive yaenda kure kwazvo kubva paEvangeri rekutanga reMuchinda werugare.
Chigadziko chemwenje chinotevera chinomiririra chimiro chaive nekereke munguva dzakaipa kwazvo Nguva dzeRima.
EVIL (KUIPA) zvinoreva kuti kubva pakuita kwedzidziso dzeTestamente Itsva dzekereke yenguva yekutanga.
Chiedza chaMwari chaive chisisaonekwe zvachose, asi hachina kudzima zvakazara. Kwaiwanikwa vamwe vaisara vachirarama vairamba kupfugamira Roma. Kamwenje kaduku kakaenderera mberi mukati meNguva yeRima kaizofuridzirwa kuita mwenje mukuru munguva yaizotevera paitanga rumutsiridzo.
Chinguvana ichocho vanhu vakaita saWycliffe vakafa mugore 1384 naJan Hus akadzingwa mukereke muna 1415 AD akaita kuti rudo rwekushumira kutendeuka uye chinhu chekuti takaponeswa nenyasha, kupfurikidza kutenda mumabasa aJesu Kristu ekuripira zvivi, kwete nemabasa edu isu pachedu.
Vanhu ava, nevamwe vakaita savo vakashanda zvisina muganhu kupfuura mukati memakore iwayo aisada kupera eNguva yeRima kusvikira nguva yaMwari yeRumutsiridzo rwunoshamisa rwekubvisa kubata kune simba kwechiCatholic muEurope.
Makereke mana ekutanga akataurwa nezvawo muChitsauko 2 chaZvakazarurwa inobata nyaya yekubva kwekereke padzidziso dzekutanga dzemapostora.
Chitsauko 3 inobata nguva nhatu dzekupedzisira dzekereke apo Mwari akashanda zvakaipisisa kudzosera kereke pakutenda kwekutanga kwemapostora.
(CHAKAIPA) kana rikanyorwa richibva nekumashure rinotaura kuti (LIVE) RARAMA, kubva pakuita kwekereke yekutanga pachinzvimbo chekuenda kwairi.
ZVAKAZARURWA 2:18 Nyorera mutumwa wekereke iri paTiatira uti: Zvanzi nomwanakomana waMwari, onomeso akafanana nomurazvo womoto, netsoka dzake dzakaita sesafuri inopenya.
Tiatira zvinoreva kuti mukadzi anotonga. Kereke inomiririra mukadzi nekuti Jesu anodaidza kereke yake yechokwadi kuti Mwenga wake.
Mukadzi anotonga ndiye kutukwa kukuru pasi rese. Kereke payakatonga nekubata Europe yakaita nguva munhorondo yekereke apo chiKristu chakaderera zvakanyanya. Kereke inotonga ichatungamirira nyika kupinda munguva yeKutambudzika kukuru ndiyo ichava chikonzero chikuru chekurohwa kwerudzi rwevanhu paMusi weKutongwa. Mutongi achatarisa zvakaipa zvake zvaakaita nemeso anopfuta moto. Chiito chese chakaipa chayakaita chakanyorwa Mwari achatsiva zvose nenguva yakafanira.
Ndarira inotaura pamusoro pekutongwa. Ndarira yakanatswa inoreva kuti hakuna chero kuipa kuduku kunotarisirwa pasi. Saka kana tisina kutendeuka nekunatswa muRopa raJesu, tinoparadzwa.
REVITIKO 26:14 Asi kana musingadi kunditerera, musingadi kuita mirairo iyi yose;
19 Ndichaputsanya kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi; nenyika yenyu sendarira.
Kukanganisa kwakaitwa muNguva yeRima kwaive kuita chichechichechi, chinova dzidziso dzevanhu.
Tsika dzevanhu idzi dzakaparidzirwa vachishandisa chisimba. Dare ndiro raive simbi yakasimbisisa mumufananidzo waDanieri weMuhedeni. Dare mucherechedzo wekutonga nechisimba.
Dare ndiro raive mucherechedzo weRoma kunaDanieri. Asi chisimba kana kumanikidzira kunotevera nzira dzakasarudzika dzinobereka zviitiko zvaive zvisina kutarisirwa.
Satani paakashandisa hushe hweRoma kurwadzisa nekuuraya maKristu enguva yekereke yechipiri yeSymirna pakati pemakore 170 – 312 AD, akauraya mamiriyoni akasimudza kereke yakaisirwa miganhu isina kubvira yazvidzwa naMwari nechero nzira.
ZVAKAZARURWA 2:19 Ndinoziva mabasa ako, norudo nokutenda, nokushumira, nokutsungirira kwako, vuye kuti mabasa ako okupedzisira anopfuvura okutanga.
Munguva yakaipa Bhaibheri paraive rakatsikirirwa vanhu vazhinji vaive vasingagoni kuriverenga, mabasa akanaka evatsvene vechokwadi airatidzira Shoko raMwari kuvanhu. “Mabasa” anoteverwa nezwi rekuti “kubatsira” kana “rudo”. Mabasa avo aibva pakuda kwavaiita Shoko raMwari uye kuda kumubatira kupfurikidza kuda vamwe vavo. Vaiita mabasa akanaka chiri chinhu chakangoitika nekuti vaive vaponeswa. Havana, semuzambiringa wenhema, kuita mabasa akanaka kuti vaponeswe kana kuti vanhu vavayemure.
Mabasa avo akanaka aibva parudo, nepakupa.
Muzambiringa wenhema waishandira kupfuma uye kuwana hupfumi nesimba. Muna 774 AD Pope Hadrian I akagadza mambo werudzi rwevatorwa akaita mbiri hurusa, Charlemagne, negwaro rakaitwa zvisiri pamutemo kana kuti rechitsotsi rainzi “Chipo chaConstantine” (“Donation of Constantine”). Constantine aive afa makore aidarika 400 aive adarika asi gwaro iri raiti aive apa kereke yeRoman Catholic zvipo zvakakura kwazvo ne minda yakawanda, tingati nzvimbo dzese dzekumadokero. Hupfumi hwekereke hwakabva hwakura kwazvo mumashure meizvi.
“Kutenda” ndiko kwakaonekwa naMwari, kwete hupfumi hwakawedzerwa nezvavaive vazviunganidzira nesimba rezvematongerwo enyika raive mukereke.
VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neShoko raMwari.
Mwari haana kutarisa zvinhu zvavaiunganidza, anoda kuona vanhu vachitevera Magwaro zvakazara. Vatendi vaive varombo, vazhinji vavo vakavanda mumapani eAlps mavaizivikanwa kunzi kereke murenje, vakagara neShoko raMwari pachinzvimbo chedzidziso dzeRoma dzaiiswa nesimba rezvematongerwo enyika. Uku ndiko kutenda kwakaonekwa naMwari.
VAROMA 5:3 Zvisati zvirizvo bedzi, asi ngatifarewo mumadambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunovuyisa kutsungirira.
Vakadzidza kutsungirira nenzira yakaoma. Vazhinji vavo vakavurawa. Tariro dzavo munyika dzaive dzichiwanzoparadzwa.
Vaisaziva, asi husiku hurefu hwerima reNguva yeRima vaifanira kushingirira kwemakore 900 zvinhu zvisati zvashanduka. Vaifanira kutsungirira nekushingirira nekuvimba muna Mwari nekuti huchenjeri hwavo ivo sevanhu hwaisakwanisa kuziva Muono wake Mukuru. Nguva dzerima dzaive tsvina yakaviga mbeu yechokwadi chenguva yekereke yekutanga yevapostora. Zvinotora nguva kuti mbeu ibude murima. Asi pakupedzisira mbeu yakafushirwa inowora hupenyu hutsva hwotanga kubuda chova chishamiso. Kereke yeRoma muNguva dzeRima ndiyo yaive tsvina yakavanza mbeu yechokwadi chekereke yekutanga yemapostora kuti imere.
“Nemabasa ako; magumo agodarika mavambo”. Kurudziro yaColumba nevaimutevera yakaparadzwa mukati memasenturi pese pavaigona napo kuiparadza asi mumashure memakore ana 1300 AD mazita matsva akasimuka akaita sana Wycliffe nana Jan Hus vakakwezva vanhu vazhinji. Kupikisa kwavakaita kereke yeCatholic kwakabereka kuita kukuru kwakasimba pakati pevanhu vazhinji vairamba huwori nekushaiwa humwari kwekereke yeRoman Catholic.
Zvino nekufamba kwenguva mumonku wechiCatholic Savonarola akasimuka muFlorence akawisira pasi hupfumi hwaive huchikura nehuwori hwehutungamiriri, kutonga kwavo kwaive kusina kufanira uye kubata varombo zvakaipa. Vapanduki vaipandukira kereke yeRoma vaive vatanga kusimuka. Roma yaive mubishi rekudzima moto iyi yevairatidzira.
Vakauraya Hus naSavonarola.
Kereke yakadzosa chisimba chayo zvakawedzerwa vakasimbirira pamakereke nemitambo . Makereke aive akazadzwa nendarama nezvishongo zvematombo anokosha, vakashonga micheka yemaresi, vakaputirwa nezvinonhuwira vakavhenekerwa nemwenje yakatungidzwa, maaritari makuru, nhumbi dzinodhura midziyo inokosha, madziro akapendwa zvakanaka nemasirini acho, nevaimbi vakawanda.
Asi mhepo dzeshanduko dzaive dzichivhuvhuta. Chaive chisina Wycliffe naHus yaive minana yetekinoroji yezvinyorwa nemapepa akachipa.
Vanhu vazhinji nevazhinji vaiteerera nyaya yeruponeso kupfurikidza kutenda munaJesu Kristu, pachinzvimbo chekuwana ruponeso nekuva nhengo yekereke nezvipiriso zvekereke munyika yaive yakaoma isina tsitsi. Kutengesa mukana wekutenga kuregererwa kubva kuzvivi, hupenyu husina maturo hwemamishinari, mabhisimisi ezvinhu zvemunguva yakadarika, nehuwori hwaive muRoma zvaikonzeresa kubuda kwevanhu vakawanda nguva nenguva.
Roma yaitsikirira kuratidzira uku kwese, asiwo kwaive nekukura kwerudo muShoko raMwari rwaivaka simba rakaita serechiputika mabwe chaigadzirira kuputika.
Mugore 1455 Gutenberg muGermany akaburitsa Bhaibheri rekutanga rakadhindwa.
Kudhinda zvinyorwa kwakasimuka zvakanyanya muEurope. Kudhinda mabhuku kwakapararira zvakanyanya neEurope yese.
Mumashure mekubatwa kwaConstantine nemaTurk muna 1453 AD, vadzidzi nevapoteri vakaunza zvinyorwa zveBhaibheri zvekare kumadokero. Apa Bhaibheri raive rakukwanisa kubatanidzwa kubva muzvinyorwa zvekare zvese izvi. Vadzidzi vechiGiriki nechiheberu ava vakaunza kukura mudzidzo kumadokero.
Zvinyorwa zvakare izvi zvaishandurwa rurimi kana kuturikirwa kuiswa mumitauro yevanhu, pachinzvimbo chekuti Bhaibheri raive rakangogara riri muLatini chete yaisanzwisiswa nevanhu venzvimbo idzi kukura kwekudhindwa kwemabhuku kwaive kiyi yekubudirira kweRumutsiridzo rwaLuther.
Asi kereke yeRoma yaiwedzerawo mabasa ayo ekuuraya vaiipikisa nekuunganidza hupfumi.
Pope Innocent III (1198 – 1216) akatanga kuuraiwa kukurusa kwevanhu munezvechitendero munhorondo apo maAlbigense muFrance yekuzasi vakaparadzwa. Kurusedhi yechina muna 1204 yakaparadza guta reZara kuti ibatanidze mari vachibva vaparadza zvakare guta reConstantinople.
Pope Gregory IX (1227 – 1241) akatanga kupamba, kuita kwekereke kwairwadzisa vanhu, kukuvadza uye kuuraya nemoto chero vanhu vaifungidzira kuti vaipikisa.
Mhirizhonga yakangova chikamu chehupenyu hwechitendero.
Kubva gore 1200 -1300 maWaldense vakabviswa kana kusairirwa kubva munzvimbo zhinji. Negore 1400 vaive vakukwanisa kuwana hutiziro pakati kati pemakomo eCottian Alps kwakafira vazhinji nechando uye kugara vakananikwa kuzviitiko zvepasi rino.
Roma yakawana simba rayo kubva kunamwari wekumanikidza anova Satani.
Vanhu vaifungira kuti nyika yaizoguma mugore 1000 AD vachibva vapa zvose zvavaive nazvo kukereke. Roma yakabva yakura pahupfumi zvakanyanya. Kereke yakabva yazivisa kuti zvipo zvekuzvipira zvaive zvakusungirwa kupihwa nemunhu wese. Mugore 1081 AD Pope Gregory VII akaita kuti imba imwe neimwe yaive nemunhu akabapatidzwa mukerek yeCatholic iripire mari pagore rega rega yekupa Petro akaropafadzwa. Gregory, zvechokwadi, akatora mari nezita raPetro aive afa kare. 33% yezvese zvaive nemunhu ainzi zvaienda kumutero werufu zvopihwa kereke. Vapfumi vaipomerwa mhosva yekudarika izvi vaitorerwa zvese zvavaive nazvo zvogovanwa nepakati nekereke nenyika. Hupfumi hwekereke hwaive huchimanikidza nyika zhinji. Mambo Francis I paakatonga France (1515 -47) boka remaaboti, mabhishopu nemaachibhishopu 600 raitonga nzvimbo dzeminda zhinji kwazvo muFrance yese zvekuti mari yavaiita yaienzana neyaibatwa namambo pamitero.
MaPope akabva azivisa kutengera hama dzakafa nzvimbo kudenga. Nekuripira mari waikwanisa kutenga kuregererwa kwako kuzvivi.
Vakagadzira nhema dzekuti kwaive nenzvimbo yainzi pugatori kwainogara mweya yevanenge vafa vachirwadzisirwa zvivi vasati yaenda Kudenga. Nekuripira mari, waikwanisa kuburitsisa hama yako yakafa kubva muPugatori pakarepo. Iyi yaive nzira yekuita mari zhinji. Kereke yaiita mari kubva muvanhu vapenyu zvese nevakafa. Bhizimisi raiita.
Asi parizvino chinhu chaive chisina kutarisirwa chaive chatanga kuisa Roma panjodzi. Meso evatungamiriri vezvechitendero vane godo aive atarisa hupfumi hwayo. Hus paakapikisa Roma haana kuwana rutsigiro rwakakwana rwekuparadza mbambo dzeRoma. Luther paakapikisa Roma, vanhu vazhinji vaive nesimba vakamutsigira izvozvo zvaizovagonesa kubvuta mugove wavo wehupfumi hwekereke. Zvakadaro, hupfumi hwekereke hwakabata basa guru pakuwira pasi kwekereke pakatanga Rumutsiridzo.
MAPISAREMA 76:10 Zvirokwazvo kutsamwa kwevanhu kuchakurumbidzai:
Vazhinji vakabatana naLuther vakazviitira zvikonzero zvakaipa, kuzviwanira mari. Asi rutsigiro rwavo rwakaitira Mwari sezvo rwakagonesa Luther kumira mukurwisa kwaPope.
ZVAKAZARURWA 2:20 Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti unotendera uya mukadzi Jesaberi, unozviidza muprofitakadzi, vuye unodzidzisa nokutsausa varanda vangu, kuti vaite vupombwe, nokudya zvakabairwa zvifananidzo.
Jesaberi, kereke yeRoman Catholic, yakatanga netsika dzavaNikoraiti, zvinoreva kuti kusimudzira munhu mutsven kuva mutungamiriri. Yakatanga iri pfungwa yakanaka kuti kereke ikure ikazova dzidziso isingagoni kupikiswa. Vakasimudzira simba renyika vakazivisa chipegani. Kereke yeRoma munguva ino muprofitakadzi inoudza vanhu kuti yakagadzirirwa kutonga pasi rese nekuti mutungamiri wayo, Pope, ndiye akatsiva Petro panyika uyo ega anosarudza kuti ndiyani achapinda Denga sezvo ainemakiyi eDenga.
Mugore 1302 Pope akataura kutaura kunodaidzwa kuti “Unam Sanctam”.
Kunotaura kuti ruponeso runowanikwa chete kana ukazviwisira kuna Pope kuti uve nhengo yekereke yeCatholic.
Yaive muprofitakadzi wenhema payakatora vanhu kubva pamagwaro nekurongwa kwechitendero chayo chesangano chikabva chaita nheyo dzedzidziso dzenhema. Mifananidzo zviumbwa zvisina hupenyu mazviri. Hakuna hupeyu mudzidziso dzevanhu.
MATEO 15:9 Asi unondinamata pasina, uchidzizisa dzidziso iri mirairo yavanhu.
Jesaberi akawana simba rezvematongerwo enyika raive remurume wake Ahabu richimutsigira akabva amanikidzira zvitendero zvake zvechipegani pavanhu vechiJuda. MuNguva dzeRima. Kereke yeRoma yakamanikidzirwa pavanhu vemuEurope nemunondo nemoto.
Kupomba kunoyananiswa nekunamata zvifananidzo. Makereke eRoman Catholic aive akazadzwa nezvifananidzo zvaKristu Maria, mupostora, nevamwe vatsvene vakawanda.
Pope John Paul II, mutungamiri akashinga aive akanaka kwazvo, aive akazvipira kunamata zvifananidzo zvemhandara Maria.
ZVAKAZARURWA 2:21 Ndakamupa nguva kuti atendevuke; akaramba kutendevuka pakufeva kwake.
Nguva iyi yakatora makore mazhinji anoda kusvika 900. Paive nezvinhu zvizhinji zvinonyangadza zvaiitwa nekereke yeRoma zvekuti zvaive pachena kuti vaidiwa kuti vatendeuke. Asi vakaomesa moyo yavo vakarega. Chero Pope Francis akanyangadzwa nekuita kwavo kwaiita kunge vasiri vanhu nemabatiro avaiita maWaldense akakumbira ruregerero pajekerere muTurin mugore 2015. Asi maPope eNguva yeRima havana kubvira vatendeuka kana kukumbira ruregerero. Pachinzvimbo chekutendeuka munguva yese yeRima nekuuraya kwavo, pakatanga Rumutsiridzo vakatendeutsira muchina wavo wekuuraya kunevakabuda mairi vachiipikisa muEurope nekumaIndia muSouth America yepakati hapana chimwe chavakaita, vakasimudzira kuuraya kwavo.
ZVAKAZARURWA 2:22 Tarira, ndoda kumukandira panhovo (gehena), navanoita vupombwe naye panhamo huru, kana vasingatendevuki pamabasa ake.
Kereke yeRoma yekutanga, nekurasikirwa nemeso emweya, yakasimbirira pahupfumi hwenguva duku, simba munezvematongerwo enyika, nehutefe tefe hwenyika. Magarikwa akauraya rudo nekutsungirira kwayo munezvemweya ikafamba ichiungudza murufu rwayo. Asi nguva yekutambudzika kukuru ndiko kuguma kwekereke iyi. Hupombwe pamweya kugamuchira dzidziso dzakaitwa nevanhu mumimba yepfungwa madzinokura kubva pakuva mbeu kusvika pazviito zvinokurira zvatinoita zvese zvokura kuita hunhu nedzidziso dzinotonga mafungiro edu. Chiratidzo chechikara muruvoko rwedu (mabasa edu) nepahuma dzedu (pane pfungwa dzedu dzatinofunga nadzo). Saka chiratidzo chechikara kusukurudzwa pfungwa kana kutongwa pfungwa. Tendai chero chinhu chisiri muMagwaro. Itai zvinotaurwa nekereke chete, musafunganya nezvezvinotaurwa neBhaibheri.
Asi vatungamiri vemakereke vaive vachivaraidzwa kwazvo nekuda kutsvaga hupfumi, simba midziyo, nehupenyu hune zvese.
ZVAKAZARURWA 2:23 Navana vake ndichavavuraya norufu: nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo, nomoyo, ndichapa mumwe nomumwe wenyu paakabata napo.
Vana vekereke yeRoman Catholic ndivanani? Makereke anopikisa dzidziso dzayo akabuda mairi. Roma yakavaka mweya wemasangano wakasimba kwazvo nheyo dzawo dziri pahutungamiri hwevanhu zvekuti vakaipikisa vanongoenda nenzira imwechete iyoyo. Musiyano ndewekuti vanodaidza vanhu vanovatungamirira kuti “mapasita” (“vafundisi”) pachinzvimbo chekuti “maprista”. Zvino boka rimwe nerimwe rinopikisa dzidziso dzeRoma rinobva ratonga richishandisa dzidziso dzayo dzakaitwa nevanhu.
Rufu rwemweya kuparadzana naMwari. Kereke yeRoma yakabva padzidziso dzeTestamente Itsva dzevapostora, saka izvozvi Mwari akabvisa mweya wake kubva mukereke saka zvakadaro, hapana muganhu panyadziso, kuzvipfumisa, nehupenyu hunonyangadza hwakanyudza vatungamiri vemakereke mahuri. Vaive vachiri vapenyu panyama, vachizviti maKristu asi mukati mavo Mwari akabuda vakasara vakafa pamweya.
Rufu chitendero chakarongwa chinotsiva ruwadzano rwemunhu naJesu Kristu.
Chitendero chakarongwa ndiko kuita masangano. Aya anofamba ari pasi pehutungamiri hwevanhu zvakadaidzwa kuti tsika dzavaNikoraiti.
Muenzaniso wakanakisa waive wemakurusedha.
Vaitaura kuti vaiuraya muzita raJesu, asi vaibira vanhu, kubata chibharo nekuparadza vanhu mumakaro avo esimba nzvimbo dzeminda nekupamba. Rudo rwavo rwekuuraya rwaive humbowo hwekuipa kwaive mumoyo yavo. “Vaurayi vechiKristu” ndivo michero yakaputirwa nemusanganiswa wezvechitendero nezvematongerwo enyika. Tarisai nhorondo yeISIS vanobva muchitendero chechiMosiremu.
Vhesi riri pamusoro apo rinotaura pachena pamusoro pemakereke akasiyana-siyana. Bazi rimwechete rekereke iyi rinenge risingazivi chokwadi. Muzambiringa wenhema uyu hauzivi pamusoro peruwadzano rwawo naJesu Kristu pachavo. Jesu anotsvaga “itsvo” “nemoyo”. Kubva mumoyo tinoburitsa zvatinonzwa zvakadzama kwazvo nerudo rwakadzama. “itsvo” dzemabhiza dzinoshandiswa kumaisira miganhu. Saka itsvo dzedu ndiko kuita kwedu kwatinoshandisa kupa miganhu sarudzo dzemoyo yedu dzakadzama.
Vanhu vaida kereke yavo kudarika kuda kwavaiita Bhaibheri.
Vanhu vaive nemakaro ekuzviunganidzira pfuma. Vaibatira Mwari nekuda kuzviwanira nekuzvipfumisa.
Mwari anoziva zvinangwa zvedu oramba rudo rwekuzviunganidzira kana kuripwa. Anoda kuti timubatire zvichibva kurudo rwatinarwo neShoko rake.
“Ndichapa mumwe nomumwe wenyu nepaakabata napo”. Iyi yaive nguva yakasviba isina zivo. Zvakaipa zvaive zvakawandisa. Hupenyu hwaive hwakareruka. Asiwo kwaive nevaya vaiedza kurarama maringe neBhaibheri. Mabasa avo akanaka airatidzira kutenda kwavo kwemukati. Vaive vashoma kazhinji vasingaoneke kana kunzwika kuti variko. Asi hupenyu hwavo hwairatidza hwaro hwepamusoro hwaive kutukwa kukuru kuvazhinji vairarama muzvivi vasingatyi Mwari.
ZVAKAZARURWA 2:24 Asi kwamuri imi makasara paTiatira, vose vasinedzidziso iyi, vasingazivi izvo zvavanoti zvakadzika zvaSatani, ndinoti kwamuri: handingakutakudziyi mumwe mutoro.
Kereke yeRoma yekutanga muNguva yeRima yakanyura muudzamu hwekuti munhu aitotya kuvhikirira ziso nekurangarira kuipa uku kwese. Zvisinei nekuedza kukuru kwaungaite, unotambudzika kuwana munhu ari nani kudarika Pope weBorgia Alexander VI (1492 – 1503). Akazofa pavaidya havo nekumwa chimwiwa chaive chaiswa muchetura chaaive agadzirira munhu waaive akoka. Muranda wake neimwe nzira aive asanganisa makomichi.
Nguva iyi yaive yakareba, yakaipa izere mhirizhonga. Mwari aifara kana maKristu aingogona kuterera Magwaro ruponeso rwemunhu mumwe nemumwe kupfurikidza kutenda muchibairo chaKristu kwatiri, nekuti vashoma kwazvo vaitenda izvozvo. Vaive vakunda kuedzwa kwekutsungirira nekushingirira. Vaive vaita kuti mwenje urambe uchipfuta, chero zvazvo waive muduku kwazvo. Vaive vaita basa guru nekutsungirira nemoyo murefu vakapunyuka kuparadzwa.
Basa raive rakarema rakaoma rekuparadza mbambo dzeRoma muEurope raizosiirwa vamwe vaizouya munguva yaizotevera.
Vamukiri vaivepo pasi pevhu, kunyanya muEurope yekumusoro. Totenda kuratidzira nekuzvipira kuurairwa Shoko kwaJun Hus nyika yeBohemia, nzvimbo dzakapoteredza guta rePrague muCzechoslovakia, vaive vachipikisa chiCatholic zvakasimba. Negore 1384 paakafa, kushandura Bhaibheri kuriisa muchirungu kwaWycliffe kwaive kwatanga kuparadza simba rekushanda kweBhaibheri reLatini, raive risina vanhuwo zvavo vairinzwisisa.
Mugore 1378 makadhinari, nehumbwende, vakasarudza maPope maviri. MaPope maviri aya kana yaidaidzwa kuti “Great Schism” akaenderera mberi kwemakore makumi mana kusvika gore ra 1417 zvikanetesa kwazvo kukudzwa kwaPope.
MaWaldense, huwandu hwavo hwakaderera nekuda kwemakurusedhi akati wandei avakaitirwa, vaive vachiri vakangobata vakasimba pakupikisa Kereke yeRoman Catholic muCottian Alps muEurope yekuzasi.
Kubva gore 1450 zvichienda mberi nzvimbo dzakasiyana muEurope dzakatsvairwa nekuita kwekuda kuita nyika dzakazvimiririra. Pachinzvimbo chekuti Europe yese izviwisire pasi paPope, vaive vaita kunzwa kukuru kwaikura mavari kwekuda kuva nyika dzakasiyana dzinozvimiririra kunyanya munzvimbo dzemakomo eAlpine dzemuSwitzerland uko maguta akabatana nekuti zvaive zvakaoma kuti vanhu vaibva kunze vavarwise. Mubatanidzwa wemaguta aya wakawana kuzvitonga kuzere muna 1499. panzvimbo iyi mumutsiridzi Zwingli naCalvin vaizozvidza Roma. Renaisenzi, yaipikisa kudzidza nemazano matsva, yakatanga muItaly zvakaita kuti vanhu vatange kuzvifungira vakatanga kuita mibvunzo pamusoro petsika dzese dzeRoman Catholic. Mafungiro nemazano matsva akatanga kutenderera, kunyanya nekuzowana kwavakaita ruzivo rwenyika itsva dzevaAmerica muna 1492 naColumba. Kereke yeRoma yakatonga Europe vachishandisa mutauro wechiLatini waive usina vazhinji vaiunzwisisa. Gutenberg yaidhinda zvinyorwa, yakatangwa makore ana 1440 ikapararira neEurope negore 1500, zvikagonesa kupararira nekukasika kwezvinyorwa zvechitendero mumitauro yaizivikanwa nevanhu. Hakuna munhu aigona kuchishandisa zvakanaka kudarika Martin Luther. Mepu iri pasi inoratidza dzimwe nzvimbo dzaipikisa chiCatholic muEurope uko Luther, ari mumonku akazvimiririra, akasimuka kunopikisa kuita kwekereke huru iyi yaive muridzi wechikamu chimwechete muzvikamu zvitatu zveEurope yese uye yaitonga madzimambo emuEurope. SaDavidi munhu mumwechete achirwisana nezikereke zihombe kwazvo raive rakakura kunge Goriati.
Nhandare yaive yateiwa kuitira kudengenyeka kwenyika kwemweya. Chaidiwa chete aive munhu aive asingatye, ainekumukira kukuru uye asingavhunduswe aive nesando, musuwo wekereke muguta remuGermany reWittenberg, negwaro rinonzi “95 Theses” raipikisa kutenga ruponeso uye nzvimbo kudenga, simba iroro rekutenga kurengererwa zvivi naPope.
ZVAKAZARURWA 2:25 Asi batisai izvo zvamunazvo kusvikira ndichivuya.
Kereke yechokwadi yakabatirira paruponeso nekutenda. Vaiita mabasa avo akanaka kunyange vaiwana mibairo mishoma kwazvo vari panyika pano sezvo kazhinji vaivhimwa vachiurawa. Asi havana kurasa tariro. Husiku hurefe hweNguva yeRima hahuna kuita sehuchaguma. Asi vakaenderera mberi vakatakura kutenda vakakupawo kuvamutsiridzi vaizorova Roma sekudengenyeka kwenyika.
ZVAKAZARURWA 2:26 Unokunda achichengeta mabasa angu kusvika pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi.
Nguva iyi yatidzidzisa chidzidzo chimwechete chakasimba kwazvo. Usarase tariro. Zvisinei nekuti hazvina tariro mazviri sei, zvisinei nekuti vakarwadziswa zvakadii, zvisinei nekuti vakaurawa vakawanda zvakadii havana kubvira varasa tariro. Mwari aive avadyara imomo vakamubatira nekuzvipira kuzere, chero zvavo vaifa nekukasika rufu rwunorwadza. Vatsvene ava vaive nechinhu chatingatsanangure sekuti kushinga pamweya. Semurwi anenge aroverwa pasi, vairamba vachimuka chete vachienderera mberi nekurwa kurwa kwekutenda, vachibatira Mwari zvisinei nekuti tariro yavo munezvenyika ino yaive yaparadzwa. Satani akavarova nezvese zvaaive nazvo, asi vakaramba vachiuya chete. Kushingirira ndicho chaive chinhu chikuru muchiKristu chakaratidzirwa mukutenda kwavo kwaive kwarovererwa zvakanyanya. Iyi yaive isiri nguva yezvana muchiKristu. Vakararama nguva yakaoma yairwadza asi havana kubvira vasiya kuita zvakanaka. Ndipo pavaive vakasimba napo, havana kurasa tariro nekuda kwekuti zvaivawira zvaive zvakaoma.
Hunhu hunoitwa nekuomerwa nekukurirwa. Zvaivawira zvaive zvakarema zvakabereka hunhu hwakasimba husina kutya hwaivaita vakaringana kupinda muMereniyamu. Mwari aidzidzisa vatongi vake venguva ichauya.
ZVAKAZARURWA 2:27 Uchaafudza netsvimbo yedare, sehari dzomuvumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwavo naBaba vangu.
Vachapunyuka Amagedhoni nevasingatendi vasina kubvira vanzwa Evangeri ndivo vachava marudzi achatongwa muMereniyamu. Vanhu vasina kuposeswa ava vachapihwa hupenyu hwakawedzerwa hwemakore anoda kukwana 1 000. Asi muchitenderano chimwechete chekuti vachaita hunhu. Vanobva vasarudza kuti vanoda here kugamuchira Jesu kana kwete. Vana vavo vachararama “Mudenga rekutanga” rinova kuraira Denga kwekutanga vari panyika apo Jesu anotonga muMereniyamu kwemakore 1 000. Kururama kuchaerera kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa. Zvese zvichava murunyararo. Asi zvisinei nekurarama muzviitiko zvakadaro kwemazana emakore, Satani pachichasunungurwa vachamhanyira kwachiri sedutu. Izvi zvichanyadzisa kutaura kwevasingatendi, “Dai ndakararama mumba memaKristu kana munzvimbo yemaKristu ndingadai ndakagamuchira Jesu”. Vanhu ava vachararama murunyararo nekuchengetedzeka vachiona Jesu, asi vachamuramba pavanongowana mukana.
Vatsvene venguva yekereke yechina iyi vakaona zvivi vakazvidzwa vakadzikisirwa saka pavachange vakutonga havazosekerere chakaipa. Nyika yavanotonga ichaita zvinodiwa kana kuti ! Mereniyamu ichava yakanakisa kune vakarurama asi chero kukanganisa kana chakaipa hachina achachisekerera. Apa Mwenga achatonga nyika nekuvabata zvakarurama asi zvakasimba. Tsvimbo yedare inotaura pamusoro pekurongeka kukuru, kwete hutsinye nehukasha hwedare reRoma. Asi vaya vanoramba kuterera vachaputsanyiwa.
ZVAKAZARURWA 2:28 Vuye ndichamupa nyamasase.
Nyamasase, nyeredzi yamangwanani inobuda kumabvazuva, zuva risati rabuda, kwemwedzi mipfumbamwe yobva yashanduka kuva nyenyedzi yehusiku kwemwedzi mipfumbamwe zvakare. Makore 900 eNguva yeRima anofanira kudarika isati yakwana nguva yekuti Mwari afambe. Kuvatendi vechokwadi hwaive husiku kusingagumi. Asi pakupedzisira, nyamasase yakatanga kupera apo zuva rakatanga kubuda, risati ranyatsoonekwa. Pamagumo, nyeredzi imwechete inosara ichionekwa kupenya, nyeredzi yakajekesesa, Nyamasase. Tingangoti, iyi ipuraneti Vhenasi igere pakati penyika nezuva. Inoratidzira chiedza chezuva kwatiri uye ndicho chiratidzo chekupedzisira chisati chapera zuva rinobva rabuda kumuganhu wenyika.
Nyamasase inorevakuti zuva rakuda kubuda. Inoreva kuti chiedza chakutanga kuda kujekesesa apo zuva rinobuda mangwanani richitsiva nyamasasi yairatidzira chiedza chezuva zvakanakisa chichiri chishoma.
MaKristu echokwadi, mumwe nemumwe achiratidzira chiedza chaMwari chishoma maari vakabata zvakasimba zvino Mwari pachake aizotendera Rumutsiridzo rwekubwinya kutanga panzvimbo rwoparidzira chiedza chinopenya chekuponeswa nenyasha kupfurikidza kutenda munaJesu Kristu chete, kure kure. Mumasenturi akati kuti, Evangeri rechokwadi iri rekutendeuka nekugamuchira Jesu saMuponesi raizoparidzwa pasi rese.
Nyamasase, nekuda kwekuva pedyo kwayo nezuva, inopenya zvakajeka kana zuva rakuda kubuda chete. Inobva yadzima apo zuva rinobuda mukubwinya kwaro kwakazara. Saka vatsvene ava, munguva dzakasvibisisa dzeNguva yeRima, nekugona kungopenyera Evangeri vaive humbowo hwekuti Satani haagoni kukurira zvakazara nekuti vairatidzira Chiedza cheBhaibheri. Jesu, sezuva rinobuda, anozozadza nyika neChiedza chake “cheKururamisirwa nenyasha kupfurikidza kutenda” oparadza rima. Satani anogona chete kutonga kwemwaka. Anobva azosangana nemukuriri wake onanzva maronda ake.
ZVAKAZARURWA 2:29 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.
Mwari anodzokorora izvi kunguva yekereke imwe neimwe. Mweya waMwari uchatiudza zvakanyorwa muBhaibheri chete. Vanhu vacharamba vachitsvaga zvekutsiva kuti vagadzirise Bhaibheri kuti vaedze kurarama mushanduko dzezvese zvinenge zvichivawira. Mwari anoramba achitaura kuti hatifaniri kubva paMagwaro nekuda kweshanduko dzinoitika munyika yatiri. Kuramba tichitevera dzidziso dzenguva yekereke yekutanga yeTestamente Itsva ndizvo zvaidiwa naMwari chero hazvo izvi zvisina kuita mucherechedzo wakafadza muzvikamu zvehuwandu hwevatendi vaitevera bato iri.
Vanhu vazhinji nevanhu vakakosha vaive mukereke yeRoman Catholic. Asi Mwari aive asingafadzwi navo.
Mwari aizozunza kwazvo bato rekereke huru iyi achishandisa mumonku aive asina matyira aibva muguta risina kukosha uye risina mbiri reWittenberg.