Nguva dzemakereke - Pergamosi, Nguva yeChitatu, 312 AD - 606 AD



First published on the 15th of November 2019 — Last updated on the 15th of November 2019

Kubva mugore 64 AD kusvika muna 312 AD, Satani akatanga kuuraiwa nekurwadziswa kwakaoma kwazvo kwemakereke kupfurikidza hushe hweRoma. Asi zvisinei nekurasikirwa nevanhu mamiriyoni matatu akafira muhondo, kereke yakakura nekukasika kudarika kuparadzwa kwayaiitwa. Nekuona kuti hutsinye nechisimba zvaibva nekunze hazvina kugona kuparadza kereke, nzira yaSatani yakatevera yaive yekuti mubati Constantine amise kuuraiwa kwemaKristu muna 312 AD achitanga kuedza kukuru kuvodza zvakachenjera kereke yaivimba kuBhaibheri pakanzuru yeNicaea muna 312 AD nekutsanangura kwakachenjera kwairatidzika sechokwadi mumaziso aive asina kudzidziswa kuona zvakadzama zveMagwaro.

Hunhu hwakaipisisa hunotyisa parutivi rwehushe hweRoma hwakaona Danieri achitsanangura hushe hweRoma yechipegani sechisikwa chakaipisisisa kwazvo, chaingova nemusoro mumwechete, chaive nenyanga gumi nekamwe kanyanga kaduku kaive pakati padzo.

Nekunge vaparadza mamwe marudzi, chikara cheRoma ichi chaizoparadzwa nemarudzi gumi evatorwa aive akamiririrwa nenyanga gumi kana hushe hwaizoita kuti imwe nyanga, kereke yemweya kana simba, isimuke pakati pavo.

DANIERI 7:7 "Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna-vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi

DANIERI 7:20 Uye pamusoro penyanga dzine gumi dzakanga dziri pamusoro wayo,

(musoro mumwe, wakaverengwa muhumwechete)

 

 

Danieri 7:8 Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru.

Meso anotaura pamusoro peruzivo. Simba rezvemweya raive rigere panheyo “dzemeso omunhu”, chitendero chaive chakavakwa paruzivo rwevanhu uye paShoko raMwari.

Chikara cheRoma yechipegani chinomiririra mweya wechipegani wehutsinye hukuru wakatsikirira vanhu vose kuti vazviwisire kuhutongi hwehudzvanyiriri hwemunhu mumwechete kana mubati aizovamamikidza kuteerera murairo wehurumende yeRoma uye chitendero cheRoma waiita kuti vanhu vanamate vamwari vechipegani vaive vapambwa. Izvi zvakasiya ruzhinji rusina parwaikanganiswa pakutenda zvitendero zvavo zvakarasika, zvikabva zvaita nyore kuti vatonge ruzhinji rwevanhu.

Kubatanidza zvitendero chaive chinangwa chevatungamiri, kwete chokwadi chezvitendero. Kukurudzira kana kumanikidza vanhu kuti vatsike pamutsetse. Kuparadza chero vapikisi. Kudzokorora kutsika mutsetse kunyange iwe pachako usingatendi mauri.

Saka chitendero chechipegani uye zvematongerwo enyika zvakabatana kuti zvibereke chisikwa chipenyu chakaipisisa ichi.

Nyanga inomiririra simba sezvo tese tichitya nyanga dzebhuru kana dzechipembere. Nyanga inogona kukuvadza zvakanyanya. Vemarudzi evatorwa vazhinji vakavapo pakuparara kwehushe hweRoma. Nyanga gumi dzinomiririra marudzi gumi evatorwa aivepo kwete pakungoparadzwa kwehushe hweRoma chete, asiwo pakutanga kereke yeRoman Catholic kuti isimuke kuva nesimba pamatongo ehushe hweRoma kuti ipararire nepasi rese. Kereke yeRoman Catholic ndiyo yega chimisikidzo chakararama pakuparara kwehushe hweRoma.

Rudzi rwevaHuni rwakabva kuAsia rwaive rudzi rwaive rwakaipisisa rwaityiwa kwazvo pakati pemarudzi evatorwa, uye vaiita kuti zvinhu zviendeke. Vakabva kuMabvazuva vachirwisa marudzi emuGerman vaive mumiganhu yeRoma vachibva vavasairira muhushe hweRoma

Saka kuparara kwehushe hweRoma kwakatanga nedambudziko guru revapoteri vaiuya.

Mapoka maduku emarudzi evatorwa aigona kugara mukati mevamwe vanhu muhushe kana varume vawo vakapinda muchiuto vachizvipira kurwira vari kurutivi rwehushe hweRoma. Asi vapoteri vazhinji, vakasairwirwa nekutya vaHuni, vaive vakawandisa kudarika vanhu vaikwanisa kutambirwa nehushe hweRoma. Venhorondo havazivi chakaita kuti vaHuni ava vabude uye vabve muAsia. Saka kana Mwari akasarudza kuita chinhu, isu vanhu hatigoni kuzviramba. Zviitiko zvinoitika nenzira dzatisingagoni kudzora. Mwari ndiye ane simba pamusoro pezvakanaka nezvakaipa.

Kuuya kwemarudzi evatorwa kwakatangira pakuparadzwa kwakaitwa hushe hwemaGothi vaigara mumiganhu yeRoma nevaHuni kubva gore ra372 kusvika gore ra 375 AD. VaHuni ava vakaparadza nekushungurudza maguta mazhinji eRoma. Pope Leo I akabva ataura naAtira akabva asiya kurwisa Roma. Izvi zvakabva zvawedzera mbiri merukudzo kuna Pope achinzi muchengetedzi weRoma nekuti mubati wekumadokero aive akundikana kuchengetedza Roma. Muna 476 AD Odoacer, mukuru wemauto werudzi rwevatorwa rwevaHeruri akabva aparadza hushe hwekuMadokero.

Odoacer, munhu aisatenda kuTiriniti akatonga Italy makore mashoma kusvika mubati wekuMabvazuva kuConstantinople atumira maOstrogothi kuti vanoparadza maHeruri vatonge Italy, vakaitawo saizvozvo. Asi maOstrogothi vaivewo vasingatendi kuTiriniti saka Pope aitenda kuTiriniti aive asina kana kufara nazvo.

 

 

Mepu inoratidza marudzi gumi ane nhorondo yaticharonda.

MaHuni vakabva vamira kuenda mberi pakafa Attila muna 453 AD. Asi vaive vasairira mamwe marudzi muhushe hweRoma. Mumashure mekutaura naPope Leo vakasiya kurwisa Roma zvakabva zvaita kuti Pope ave nembiri kwazvo. Saka kubva apa vanhu vaive vatarisira Pope semutongi weRoma akavimbika. MaHeruri vakapinda muItaly vari pasi pemukuru wemauto Odoacer (vara dema) muna 476 AD vakabvisa mubati weRoma yekuMadokero. Vakatonga Italy kusvika maOstrogothi vavaparadza muna 493 AD maOstrogothi akatonga Italy. Zvino mubati wekuMabvazuva Justinian muConstantinople akasarudza kutapa Italy. Aifanira kutanga atapa maVandari muna 534 AD muNorth Africa kuti avamise kumurwisa nemauto ake emugungwa aive nesimba kwazvo.

 

 

MaVandari akaparadzwa. Zvakangoitikawo asi vaivewo vasingatendi kuTiriniti.

Zvino mauto aJustinian akabva arwisa Italy, hondo yemakore makumi maviri yakasiya Italy isisina vanhu vazhinji uye yava dongo zvakakonzeresa hosha nenzara. MaOstrogothi akaparadzwa muItaly muna 553 AD. Mamiriyoni evanhu akafa nenzara nehukosha zvakarova Italy neEurope munguva dzeRima. Saka vaisatenda kuTiriniti vechiHeruri, maVandari, nemaOstrogothi vakabva vanyangarika kubva panhandare zvakabva zvagadza Pope aitenda kuTiriniti semunhu akasimba muRoma.

 

 

Nyanga nhatu dzaive dzabviswa nemidzi yadzo.

Marudzi matatu aisatenda kuTiriniti akabva anyangarika kubva munhorondo, saka kwaive kusisina hupikisi kudzidziso yeTiriniti. Rumutsiridzo rwaLuther rwaizouya makore anokwana 1000 kubva panguva iyi. Saka kwemakore anoda kuita 1000 Pope akaparidza Tiriniti pasina kana munhu akakosha angamupikise. Munguva iyoyo kutenda kuTiriniti kwakaziviswa muvanhu nekuda kwekuramba kuchidzokororwa kutaurwa nezvako. Saka vase vaizopikisana nedzidziso dzeRoma vobuda mairi vaizobuda asi vachienda nedzidziso yeTiriniti. Nhasi, munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia, dzidziso yeTiriniti ndiyo imwe yedzidziso shoma dzinobatanidza makereke mazhinji nekereke yeRoma.

Muna 568 AD maRombadi akapamba Italy. Saka nguva itsva yekereke yaizotanga nekukasika Pope achidyidzana nemarudzi evatorwa. Zvishoma nezvishoma maRombadhi akatanga kuva chikanganiso kuna Pope.

Muna 634 AD maArabu echiMosiremu akawadzuka achibva murenje reArabia akabva apamba Middle East neNorth Africa neSpain. Mubati wekuMabvazuva paConstantinople aive ari mubishi kuedza kuvhara nzira yemaMosiremu echiArabu akabva akundikana kurwira Roma, saka Pope akamanikidzwa kuedza imwe nzira yaive nemano kwazvo yekuzvisanganisira munezvematongerwo enyika nemarudzi evatorwa. Pope aiti aive nesimba rekugadza munhu samambo. Izvi zvakazozivikanwa sekunzi kodzero yemadzimambo yemweya apo vaiti vaive vasarudzwa naMwari kuti vatonge semadzimambo. Pope aizozodza munhu kuti ave mambo kuti verudzi rwake chete vagokwanisa kuva madzimambo mumashure make, kuripira kuita uku, aizochengetedza Roma kubva kune mamwe marudzi evatorwa. Zvaive zvakachenjera, Pope akasarudza Rudzi rwevatorwa rwaive rwakasimbisisa rwacho, maFrank vaive kumusoro kweGermany neFrance.

Pepin, aive meya weFrance, akamanikidza Childeric, mambo wemaFranki, kuti vapinde mumisheni akabva aita kuti iye aitwe mambo wemaFranki nerutsigiro rwaPope Zachary muna 751 AD.

Kutsiva izvi mambo Pepin akauya muItaly akasvikorova maRombadhi vaive vachityisidzira Roma.

 

 

Pepin akabva apa nzvimbo zhinji dzemuItaly kuna Pope dzaive dzakudaidzwa kuti nzvimbo dzemaPope. Izvi zvinoratidzwa neruvara rwebhezhi mumepu iri pasi.

 

 

Pope aive ava muiti wemadzimambo pakati pemarudzi evatorwa uyezve aive ava muzvina minda. Izvi zvakamupa simba guru munezvematongerwo enyika uye rukudzo rukuru. Simba remaFrank mune zvemauto rakamugonesa kukurira vapikisi vake.

Nyanga nhatu dzaive dzabviswa nyanga duku yesimba remapope yaive yatanga kukura.

Kukanganisa kukuru kwenguva iyi kwaive kwekufunga kuti nzira dzekurarama nadzo kuitira kuti vakurire mumagariro aive atanga kuparara.

Vatungamiriri vekereke yeRoman Catholic inotonga yakaramba ichigadzirisa Magwaro vachiwedzera zvimwe muBhaibheri kuti rienderane nezviitiko zvavo zvaivawira zvaishanduka nguva dzose uye kuti zvienderane nezvido zvenguva dzairamba dzichishanduka. Vaiwanzozviwanira rukudzo kana dzoro renguva duku asi zvichizobereka dambudziko renguva refu kana takatarisa pachokwadi cheBhaibheri, apo vaifanira kuramba vachienda kure nedzidziso dzemapostora kuti varambe vakabatira pasimba ravo munezvematongerwo enyika uye kutonga kwavo nekurudziro dzavo pamusoro pemamwe makereke nevanhu.

Asi kwaigarova nemaKristu aive asina mbiri munzvimbo dzakasiyana siyana vaivimba muhukama hwavo hwakadzama naJesu uye vaiita zvese zvavaigona kutora Testamente Itsva senzira yekutevera nguva dzese mumakereke. Kubva panzira iyi uye mirairo yayo kwaive nemubairo wairwadza, uye simba rekereke yechokwadi iyi raive simba ravo rekuramba vari pachokwadi kunzira nemirairo yaibva muMagwaro. Saka vapupuri vechokwadi kusimba raJesu rekubatira vaiwanikwa chete imwe nzvimbo sezvo kwaive kusina bato rakarongwa nevanhu kuitira kereke idzi sezvo kwaive kusina kurudziro kubva muBhaibheri yekuti kereke imwechete inofanira kutonga imwe. Kubatana kwavo kwaive kusina kuitwa kwekurongwa kwaigonesa kuti makereke aya ararame munguva dzekuparadzwa kwemakereke nemaKristu. Kuunganidzira vanhu Bhaibheri Shoko rakanyorwa riri ndiro mukuru wavo kwakaita nheyo dzehutungamiri husingashanduki kwakagonesa chokwadi kuti chinyangarike mune imwe nzvimbo nenguva chichizonyuka zvakare mune imwe mzvimbo pane imwe nguva apo Mweya waMwari waimutsa vatendi vatsva.

Hukuru kwemakereke hwaive husina kukosha kuvanhu ava.

MATEO 18:20 Kuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.

Asi kereke yeRoman Catholic inoisa kukosha pakukura kwekereke uye pakuva kereke yakakoshesesa pasi rese. Bhishopu Siricius (384 – 399AD) vaive bhishopu wekutanga weRoma kutora chinzvimbo chaPope chinodaidzwa muchiTariana kana muRatini kuti “papa” muchiGiriki rinodaidzwa kuti “pappas” zvinoreva kuti “baba”. Asi Jesu akati hatifaniri kudaidza chero munhu kuti “baba”.

MATEO 23:9 Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndibaba venyu, ivo vari kudenga.

Negore 400 AD bhishopu weRoma aitora kota imwe yemari yezvipo zvaipihwa mukereke yeRoma.

Nenguva yaLeo I (440 – 461 AD) Bhishopu weRoma aive atora chinzvimbo chemuprista mukuru wechipegani chaPontiff Maximus (anodaidzwawo kuti Pontiff). Leo aida kuti bhishopu weRoma, anodaidzwawo kuti Pope nhasi, kuti ave bhishopu mukuru wemakereke ese. Leo aiona simba remapope riri simba raPetro pachake. SaPope akazviti aive mumiririri waPetro panyika uye mutauriri wake. Iye ega aiti aive mukuru wechitendero chemaorthodox.

Muna 452 AD akakurudzira Attila muHuni kuti asarwise Roma. Saka kudzokera shure kwemaHuni kwakapa Pope rukudzo rukuru sezvo akava iye ega munhu akagona kuponesa Roma kubva pakuparadzwa nemaHuni vaive vasina tsitsi.

Asi makore matatu akazotevera Gaiseric muVandari akarwisa nekusveta Roma simba kwemazuva gumi nemana. Roma yechipegani yaive yatanga kufa asi kereke yeRoma yaive yatanga kukosha zvakanyanya. Nekushaiwa rubatsiro kubva kuRoma yekuMadokero nemubati wayo, Pope aive akatanga kuzvisanganisa zvakanyanya mukufambiswa kwezvinhu muguta reRoma.

Augustine (354-430 AD) aive tingati munyori aikurudzira kwazvo wechiKristu munguva yake. Akaitwa Bhishopu weHippo muNorth Africa muna 395 AD. Kuwira kweRoma kuna Alaric muGoth muna 410 AD pakarwiswa guta nemaGoth kwakavhundutsa Augustine, akabva adaira nebhuku rinonzi “The City of God” (“Guta raMwari”). Kana guta gurusa panyika (Roma) rikawa, akanzwa achimanikidzwa kunongedzera vanhu kune zvimwe zvinhu nezvimisikidzo zvenyika zvaizorarama akasarudza kereke yeRoman Catholic yaizova hutiziro hwevanhu munguva dzenjodzi. Sarudzo yake inoita seyakaruramisirwa nekuti kereke yeRoman Catholic ndiyo yega chimisikidzo chakararama pakuparara kwehushe hweRoma. Semuenzaniso, nheyo dzehupenyu hweRoma nekufara kwayo kwemakore 390 dzaive pagomba reshumba, nzvimbo hurusa yezvemitambo pasi rese, yakavakwa pakati pemakore 70 - ne 80 AD nhasi uno rava dongo. Vanhu 400,000 nemhuka miriyoni rimwechete vakafa muchivakwa chaive chakasvuka ropa ichi chinova chinhu chinosuwisa pahunyanzvi hweRoma hwekuvaka. Kuuraiwa kunorwadza uku, kwekufadza vakuru vehutsinye, kwakazadzisa tsananguro yaDanieri pamusoro pehushe hweRoma paakati chikara chinotyisa. Asi muzinda weLaterani, wakapihwa kuna bhishopu weRoma muna 312 AD, wakaramba uri muzinda waPope kusvika nhasi uno.

Kuti nyaya yake yekuti Roman Catholic ndiyo kereke hurusa pasi pano isimbe, Augustine akatanga dzidziso yekuponeswa nekereke yeRoma chete. Kereke yeRoman Catholic chete ndiyo inopa sakaramente inogona kuponesa vanhu.

Augustine akatora ruponeso kubva mumaoko aJesu seMuponesi wedu, akaisa ruponeso mumaoko memaprista eRoma nemabhishopu acho.

Akasimudzira chinhu chekuti vanhu vanotungamirira chitendero vamire pakati pemutadzi neMuponesi. Uku kwaive kudzokera pachiprista chekuTestamente yekare chaive chakundikana.

Tsika dzavaNikoraiti, kusimudzirwa kwemunhu mutsvene pamusoro peungano yevanhu, dzakakudzwa kuitwa dzidziso naAugustine.

Vakabva vaisa zvifananidzo mukereke, vakaisa muprista muimba yekureurura kuti vanhu vareurure zvivi zvavo kwaari, vachibva vasarudza Pope kuti ave musoro wechiKristu. Ndiro Evangeri raJudasi. Mumashure maizvozvo, vakavaka zvikoro vakadzidzisa vaparidzi pachinzvimbo chekuti vafemerwe naMwari. Vakavapa madhigiri, nemaPhD. Mapostora ekutanga havana kubvira vavaka zvikoro zvekuti vanhu vaende kunodzidza Bhaibheri.

In his zeal for church unity, Augustine demanded that there be no differences in doctrine or rituals. He saw the Roman Catholic church as an earthly organisation that alone could save people. Mukushingaira kwake kubatanidza makereke, Augustine akaita kuti kushaikwe musiyano padzidziso uye patsika dzavaiita. Akaona kereke yeRoman Catholic sebato repanyika rinogona iro rega kuponesa vanhu.

Saka akabva abvisa zvimwe zvitendero zvese.

Saka aifara kuti chisimba, marwadzo, uye kurangwa zvaifanira kushandiswa kuunganidza nekutora vose vaisatenderana neRoma kuti vave chikamu chayo.

Zvinangwa zvake zvaive zvakanaka asi kubva kwaakaita paMagwaro mukuita kwake uku; akaita kuti kusumuke kuita kukuru kwekuuraiwa nekurwadziswa kwevanhu,uye humhondi hukuru. Vamwe vanhu venhorondo vakamutaura vachimuti mupostora wekurwadzisa. Zvinhu zvakaipisisa zvakakonzereswa nekukanganisa kwaakadzidzisa kwakakonzeresa kusimuka kwekuchema nehutsinye husingatsananguriki. Makumi emamiriyoni evanhu vaipikisa kereke yeRoma vaiurayiwa zvine hutsinye muEurope, nevanhu vechiIndia mamiriyoni gumi nemashanu muSouth America, Mexico, nemucuba makasvikwa nevapambepfumi vekuSpain mumakore akapoteredza 1500.

Muna 312 AD mubati weRoma Constantine akapasisa kuti vanhu vape minda kukereke pamawiri avo. Saka nekukasika kereke yakanga yane minda yakati wandei.

Nekuda kuita Constantinople (yakavakwa pakati pemakore 225 ne330 AD) guta rechiKristu, Constantine akazivisa chinzvimbo chaPontiff Maximus (Pontiff kana muprista mukuru wezvakavanzika zveRoma) kuRoma yechipegani. Chinzvimbo ichi chakazoguma chapihwa Pope Leo makore akapoteredza 450 AD.

Constantine aiziva kuti Mwari achamuranga kana pakangoita kupokana mukereke yechiKristu kwaikanganisa kufamba kwezvinhu mukereke. Saka akanzwa achimanikidzwa kushandisa simba rake rezvematongerwo enyika kuranga vese vaipikisa uye kuisa mitemo yaaiti yaive yaMwari. Kereke nenyika zvairoorana musungano yaive isina hutsvene. Mubati ndiye aisarudza kuti dzidziso ipi inganzi ndiyo chitendero chaicho, kunyangwe zvazvo izvi zvese zvaizoda kuti zvakanyorwa muBhaibheri zvishandurwe. Zvino kumanikidza kwedare kwehushe hweRoma kwaizoisa zvitendero pavanhu vaingove nesarudzo imwechete, yaive kuzviwisira kukereke yeRoma. Constantine akapa muzinda wakanakisa weLaterani uri pachikomo cheCaelian kuna bhishopu weRoma semuzinda wake uri pamutemo pamwechete nemari zhinji zvakapa Roman Catholic kuti ive kereke yakasimba mune zvese zvematongerwo enyika nechitendero, nemubati semusoro wayo.

Uku ndiko kwakava kukanganisa kukuru kwakatevera. Jesu, Shoko, aive asisiri Musoro kana Mukuru pasimba mukereke.

Munhu wezvematongerwo enyika Constantine akabva atora hukuru mukereke yeRoman Catholic yakabva yava kereke inovererengwa yega muhushe hweRoma. Nekubvumira kweruzhinji mukereke, akazvitorera simba rekuranga nekutumira muhupoteri chero munhu aisatenderana nekereke yeRoman Catholic. Iyi yaive sarudzo hurusa. Kereke yaive yarwadziswa kwemasenturi maviri nehafu yaive yakutora nhanho yekutanga kuti ivewo murwadzisi.

Mumashure mekanzuru yeNicaea muna 325 AD, Constantine akaraira kuti kuve nekurwadziswa kukuru pakati peavo vakaenderera mberi kuita paseka musi wa 14 mumwedzi waive nemwedzi wakagara. Chero nhasi uno kashoma kwazvo kuti tipembere paseka mwedze wakagara.

Constantine aidzinga kana kuendesa muhupoteri vose vaisatenderana nesarudzo yaive yapasiswa pakanzuru yeNicaea.

Vanhu vakarodza mazano avo kuti vazviruramisire pakurwadzisa vamwe.

Theodosius akaita mubati muna 378 AD akatema mutemo wekurwadzisa mapegani, nekufamba kwenguva mutemo wake wakamhura chero munhu aisatenderana nekereke yeRoma. Kereke yeRoma chaiyo yaive yakugara ichingorwadzisa, makore asingakwani zana mumashure mekurwadziswa iyo pachayo. Chaive chibereko chekubatana kwekereke nezvematongerwo enyika.

St Augustine (AD 354 – 430) akadzidzisa kuti kukanganisa kwaive kusingabvumirwi. Zvichibva kuna Augustine, kushandisa “mhirizhonga huru” kwakachenjera kwairuramisirwa.

Akaisa musiyano pakati pevasingatendi vairwadziswa nekuda kwehutsinye nemaKristu vairwadziswa nekuda kwerudo. Maikwanisa kurwadzisa nekuuraya muKristu nekuti waimada.

Akawanawo nzira yekunyenyeredza kuti vanhu vemukereke vasave neropa mumaoko avo: kuramba kereke kwaive kuramba nyika, saka munhu wese aimhura kereke aifanira kurangwa nehurumende.

Muna 385 AD bhishopu weSpain Priscillian akaurairwa kumhura hurumende nemubati Maximus zvichibva pakukumbira kwabhishopu wekuSpain. Izvi zvakazarura masuwo makuru ekuuraiwa kwevanhu.

Pope Leo I (440 – 461 AD) akayemura Mubati akamiririra kereke nekuda kwekurwadzisa vose vaipikisa nekumhura kereke.

Mubati wechiKristu Justinian akaisa mitemo yakaomarara pavose vaipikisa nekumhura kereke muna 527 AD nemuna 528.

Kubva pana St Augustine zvichienda mberi kwemakore anoda kudarika churu vose vethiyoroji vechiKristu vakabvuma kuti vapikisi varwadziswe, vazhinji vakatobvuma kuti vaurawe.

St Thomas Aquinas (1225-1274 AD) akafunga kuti zvaive zvakanakisa kupisa vapikisi akabva adisa kwazvo kuti vapiswe vari vapenyu.

Akanyorawo kuti,

Nekuda kwevapikisi zvinhu zviviri zvinofanira kucherechedzwa: motsi, kurutivi rwavo; uyezve, kurutivi rwekereke. Kurutivi rwavo kune chivi, uko vanofanira kwete kubviswa kukereke kuburikidza kudzingwa chete, asiwozve kutobviswa kunyika kupfurikidza rufu. Nekuti inyaya inokurira guva kuvodza kutenda kunoponesa mweya, kudarika kuita mari nechitsotsi, inochengeta hupenyu hwenguva duku. Apo kana vanotsvaga mari zvechitsotsi nevamwe vaiti vezvakaipa vakatukwa kusvika parufu nevemutemo, kune chikonzero chikuru kwazvo kuti vapikisi, vachangopedza kutongerwa kupikisa, kuti vasangodzingwe chete asi kuti vaurawe”. Saint Thomas Aquinas

Mushini wekuuraya wakabva wavakwa nekukasika.

Saka mbeu yekurwadziswa, yakadyarwa naConstantine ikadiridzirwa naPope Leo I yaizokura kuva humhondi hukuru munguva dzerima. Nedzimwe nguva dzakatevera dzaipikisa Martin Luther.

Kubva makore akapoteredza mereniyamu kurwadziswa kwevanopikisa kereke yeCatholic kwakava chinhu chaive chajairika, chero panzvimbo dzaisatarisirwa. Boka remaKristu paGoslar muGermany rakaramba kuuraya huku rakaurairwa kupikisa muna 1051.

Vanhu vaifunga kuti Constantine aive akanakisa “akaunza mapegani ese muchiKristu.” asi Constantine ainamata zuva akazongobapatidzwa panhowo dzake akangozoita “budiriro” “mukutendeutsa” mapegani nekuisa mazita echiKristu mutsika dzavo dzaive dzisingabvi muBhaibheri nezvese zvavaitenda.

Kereke zvinoreva kuti “vakadanwa” kubva munyika painotsauka ichienda kuna Kristu.

Kubatana kwekereke yeRoma nenyika kwakapa kereke simba munezvematongerwo enyika.

Isisiri muranda waMwari, kereke yeRoman Catholic yakapa simba remweya uye Jesu kuti iwane simba repasi pano. Mikana yayakawana yenguva duku yaive yakanakisa sezvo kereke yeRoma yakawana hupfumi nesimba munezvematongerwo enyika uyezve kugona kurwadzisa vapikisi vayo munezvechitendero. Asi hushe hweRoma uko kereke yaive yatengesa hupenyu hwayo hwaive hwasvika pakuparara uye yaizoguma yaparara mumatambudziko muna 476 AD.

Tertullian (gore rinenge 160 -225 AD) akatanga kushandisa izwi rekuti Trinity (“trinitas” muchiLatini) kutsanangura vanhu vanogovana “simba’ rakafanana. Asi zvichibva kwaari, Mwari Baba chete ndivo vaive Mwari chaiye. VeZvapupu zvaJehova vane dzidziso yakafanana pakuzara kwehuMwari.

Constantine akadaidzira musangano wekanzuru muguta reNicaea (kumusoro kwePergamosi) kunozadzisa maonero ekereke pamusoro pekuzara kwehuMwari. Kereke yaive yakuedza kuona vanhu vatatu vese mukuzara kwehuMwari sanaMwari vakaenzana.

Constantine akazivisa izwi risimo muMagwaro rekuti “esenzi” kubva muzivo dzevaGiriki. Iri izwi rakanaka rinorasisa asi risina zvarinonyatsoreva. Vanhu vatatu ava umwe neumwe aive Mwari nekuti vaive vakaenzana vari “veesenzi rimwechete” (zvisinei nezvinoreva shoko iri). Mabhishopu 318 aiedza kutsanangura mweya usingaonekwe vachishandisa tsananguro dzevanhu. Izvi zvaisagoneka nekuti hakuna anoziva kuti “mweya” chii. Tese tine mweya wehupenyu matiri asi hatizivi kuti chii uye kuti unoshanda sei. Mweya usingazivikanwe uyu unopa hupenyu unotipa hunhu, asi tese hatitozivi kuti hunhu chii.

Hatigoni kutsanangura nzvimbo dzepamusoro dzeMweya netsananguro dzedu vanhu dzenyama dzisina mazwi ekudzitsanangura.

II VAKORINTE 12:4 Kuti wakakwidzwa muparadhiso, akanzwa mashoko asingagoni kutaurwa, asina kutenderwa munhu kuti areve.

I VAKORINTE 2:9 Asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, Nezvisina kupinda mumoyo womunhu, Ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.

Saka hatigoni kana kurangarira kuti Denga rakaita sei. Tingaedza zvakadii kurangarira kana kutsanangura kuti Mwari akaita sei?

Saka kuedza kutsanangura Mwari hakugonekwi nemunhu wenyama kana mumwe hake. Mwari ndiMweya uye hatizivi kuti Mweya chii uye hatizivi kuti mweya unoshanda sei.

Saka Constantine, achikurudzirwa naSatani, akamanikidza kereke kupinda munzvimbo dzezvakavanzika zvakadzama nekuvaudza kuti vatsananguri kuti Mwari akaita sei. Mukusaziva kwavo, mabhishopu akafunga kuti vaikwanisa kuita izvi. Zvimwe zvakavanzika zvinokwanisa kugadziriswa nekuvanza chokwadi kuseri kwemifananidzo. Mukadzi mucherechedzo kana mufananidzo wekereke. Saka mukadzi ari pachisikwa chipenyu kuna Zvakazarurwa 17 ikereke. Kana tiine tsananguro dzechokwadi pamusoro pemufananidzo kana mucherechedzo, tinogona kuzivisa chakavanzika chacho.

Asi zvimwe zvakavanzika hazvigoni kugadziriswa nesu. Zvakarehwa neKutinhira kunomwe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 hazvina kunyorwa muBhaibheri. Saka hatina mucherechedzo wekuzvitsanangura kana kuzviturikira, saka zvakadaro hatigoni kuzivisa zvakavanzika izvi nekuti hazvina kunyorwa muBhaibheri.

Saka zvakavanzika zvinogona kuziviswa nemunhu ndeizvo zvakanyorwa muBhaibheri.

Kunyengera kune mano kwazvo, tingati kunyengera kwake kwakabudirira kwazvo panguva dzese, kwakaitwa naSatani ndeapo Satani paakashandisa Constantine kumanikidza mabhishopu emakereke kutsanangura Mwari nenzira dzemazwi asimo muMagwaro akakweretwa kubva kuzivo dzemaGiriki.

Semuenzaniso wechinhu ichi ngatitarisei simba risingaonekwi. Saka vezvesainzi havana kana gwara rekuti simba chii. Chavanogona kutaura chete pamusoro pesimba ndechekuti chiverengo chinobva pakubatanidzwa kwezviverengo zvakasiyana siyana. Tinokwanisa kuverenga simba. Tinokwanisa kugadzira nzira dzekutiudza kuti tine simba rakawanda sei. Asi simba iroro rimbori chii? Hatina kana ruzivo nezvaro.

Kuedza kutsanangura zvinhu zvisingaonekwi hakugoneki nevanhu venyama uye kunokonzeresa kukanganisa kuzhinji. Tinotaura pamusoro “pezvimisikidzo” zvesimba. Asi izwi rekuti nzira “chimisikidzo” rinotaura pamusoro pechinhu chinobatika. Zvisinei, simba haribatiki uye harina chimiro. Saka zvakatoshata kutaura pamusoro pechimisikidzo chesimba. Simba chinhu chisina kana chimiro. Hakuna kana rimwe izwi rinogona kutsanangura simba.

Mwari Mweya, uye hatinzwisise kuti Mweya chii. Hatigoni kuona mweya. Saka tinofanira kungogara nezvinotsanangurwa neBhaibheri pamusoro paMwari.

Asi mukuedza kutsanangura Mwari asingaonekwi mabhishopu vakataura pamusoro pevanhu vakachenjera, vezivo vechiGiriki, kuti vawane gwara. Vezivo vechiGiriki, sezvo vaive mapegani, vakasarudza mazano kubva munzvimbo mbiro dzakaresa dzechipegani, Babironi neEgipita, dzaive nemazano akakurudzira dzimwe nyika dzese dzechipegani. Ava vaive vanhu vakachenjera vaive nemazano akanakisa. Asi kungwara hakurevi kuti zano rinenge rakanaka kana kuti riri rechokwadi. Vanhu vakachenjera vakagadzira mabhomba eatomi asi mabhomba eatomi haana kunaka uye rudzi rwevanhu runova nani kwazvo kana asipo.

Hutatu hwemweya hwakaonekwa muzvinyorwa zvezvitendero uye mifananidzo yekuEurope yekare, Egipita, kumabvazuva, uye kuAsia. Izvi zvinosanganisa mifananidzo yevamwari vechirume, vamwari vechikadzi, chikwata chinaBaba-Mai-neMwanakomana, kana mufananidzo wemuviri mumwechete une misoro mitatu kana musoro mumwe une zviso zvitatu.

Babironi neAsiria dziri munzvimbo imwechete uye dzine zvitendero zvakawanda zvakafanana. Babironi yakapamba Asiria Nebukadinezari asati ava pakutonga, musoro wendarama mumufananidzo waDanieri wemuHedeni. Saka Asiria nemazano ayo echipegani yakanga yava chikamu cheBabironi. Mumusoro ndimo matinofunga. Nebukadinezari akabatanidza kufunga kweBabironi neAsiria kukuita chitendero chimwechete chakachenjera.

Mepu inotevera inoratidza Asiria iri pedyo neBabironi. Chidimbu cheruvara rwegirini pamepu hwaive hushe hweBabironi.

 

 

Chinyorwa chemufananidzo chekutangisisa chinotaura nezvetiriniti yevamwari chakawanikwa muAsiria. Chinotaridza mwari mukuru ari baba neimwe misoro inomiririra vamwe vanhu vaviri muhumwari. Humwari pachahwo hunomiririrwa nemufananidzo weshiri.

 

 

Kwaive nehushe huzhinji Babironi yaNebukadinezari isati yavapo.

Nei mufananidzo waDanieri wakatangira pahushe hweBabironi? Nekuti chiprista cheBabironi chakamedza tiriniti yevaAsiria uye muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi aive azadzwa nekuipa kwetsika dzevapegani kana hosha yezvechitendero yakaipisisa. Danieri akaona kuti Tiriniti yevapegani iyi ndiyo yaive pfungwa yakaipisisa yakamera muTestamente yekare uye sachiremba upi neupi akachenjera, akaronga kuronda gwara rinoipisa rezvakavanzika zveBabironi kupfurikidza tiriniti, raive richiri gwara risina kunatswa zvachose uye risati rarongedzerwa kunogoverwa. Asi aive achiri mazuva ekutangisisa, uye maGiriki vaive vachiri kuuya mazana akati kuti emakore aizouya mberi, vaizonatsa pfungwa iyi voita Tiriniti huMwari hunotambirika kuti maKristu atende mairi.

Kusvika apa Pontiff kana muPrista mukuru wezvakavanzika zveBabironi izvi aida nzvimbo yekuvanda panguva iyoyo Persia yakapamba Babironi, saka muprista mukuru Attalus akatizira kuPergamosi. Saka Pergamosi yakabva yapa zita rayo kukereke yechitatu iyi. Negore 323 BC Alexander aive apamba vaPersia akazvidaidza kuti aive mwari. Zvino Pergamos yakabva yatorwa neumwe wevakuru vemauto aAlexander ainzi Lysimachus akazvitiwo aive mwari mambo. Vakamutsiva muPergamosi vaive vaprista vakuru vaive nenguvo dzavo dzepamusoro nemitambo yavaiita, vakazotangawo kuzvidaidza kuti vaive madzimambo-vamwari.

Mambo mwari wekupedzisira wePergamosi, Attalus III, akapa hushe hwake kuRoma muna 133 BC. Ipapo ndipo pakazokwanisa kuti zvakavanzika zvipinde mukereke apo Pope Leo I, makore akapoteredza 450 AD, paakatanga kudaidzwa kuti Pontiff kana kuti muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi.

 

 

Chiratidzo chaDanieri chemuHedeni chakaronda gwara rezvakavanzika zveBabironi kupfuura nemuTestamente Yekare yese. Johane muzaruriri aizogona, muTestamente Itsva, kuronda kusvibisa kwazvo mukati mekereke yemaKristu yaizoguma yapuhwa zita rekuti Babironi yakavanzika nevanasikana vayo mhombwe masangano akabuda mairi.

Pirato, muzivi wechiGiriki ane mbiri, akagadzira izwi rekuti Triad (hutatu). Akataura kuti mune “hutatu” muhunhu hwemamiriro ezvinhu.

Denga, Nyika neMvura        Zuva, Mwedzi, neNyeredzi        kusika kugadzirisa nekuparadza

Saka Pirato aida kutsanangura mazano echipegani pamusoro paMwari nenzira yehutatu, inodaidzwa kuti mitumbi mitatu, iyo Tertullian (makore anenge kunana 155-240 AD) muCarthage akaturikira muchiLatini achiti “Trinitas”.

Vezivo vechiGiriki vakashandisa kutaura kusimo muMagwaro kwekuti “mumwe muvatatu”nekwekuti “vatatu mumwe” zvakazokura kuita kutaura kukuru kusimo muBhaibheri kwekuti “Mwari mumwe muVanhu vatatu”. Constantine zvakare achitaura achireva vezivo vechiGiriki, akawedzera izwi riya risimo muMagwaro rekuti “esenzi”. Baba neMwanakomana vaive veesenzi rimwe. Izvi hazvina zvazvinoreva sezvo tisina ruzivo rwekuti Mweya chii. Hatitogoni kutaura kuti “esenzi” (essence) zvinonyatsorevei. Jesu akabva aitwa “Munhu wechipiri muhuMwari” zvisimo muBhaibheri. Mabhishopu akabva arasa Magwaro paakaramba achiwedzera kutaura kuzhinji kusimo muBhaibheri mukuedza kwavo kutsanangura Mwari asingaonekwe. Dzidziso yeTiriniti yakaramba ichingogadziriswa apo mabhishopu eRoma akaramba achigadzirisa pfungwa iyi mumasenturi mazhinji.

Asi vaive nemifananidzo mizhinji kubva patiriniti dzemapegani.

Egipita yakaita matiriniti mazhinji kazhinji anoratidzwa vari vanhu vatatu pachigaro chimwechete chehushe. Vanhu- vatatu muna- mwari- umwe.

Isis, Horus (kana Osiris) naSeb (kana Set) yaive imwechete yetiriniti yekuEgipita.

 

 

Amon Ra kana Amun Ra, Ramses, naMut yaive imwe tiriniti yekuEgipita.

Uyu hausi muenzaniso wakanaka kuti maKristu vateedzere. Hatitenderwe kuita mufananidzo waMwari agere pachigaro chehushe toita Muponesi (anova Jesu) akagara kana kumira parutivi rwake.

ISAYA 43:11 Ini iyeni, ndini Jehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi.

Asi mufananidzo unotevera ndewekereke unomiririra Tiriniti. Unotevedzera muenzaniso weEgipita. Asi izvi ndizvo zvinoonekwa Mwari ari nhasi uno nemaKristu mazhinji.

 

 

Misoro mitatu pamuviri mumwechete kwaive kumwe kuedza kutsanangura Mwari mumwechete muvanhu vatatu, sezvinoonekwa pachivezwa chechiHindu ichi.

 

 

Saka chakagadzirwa nekereke yeRoman Catholic yaive pfungwa yechipegani iyi, yakashongedzwa zvakanakisa nemutauro wechiKristu. Chipegani chakashongedzwa chiKristu.

Kereke yeRoman Catholic yakatanga kuzivikanwa sechipegani chakabapatidzwa.

JOHANE 1:18 Hakunomunhu wakatongovona Mwari;

Saka mifananidzo yedu yatinonyora pamusoro paMwari kutambisa nguva.

Munyori weChick akaita mbiri kwazvo akatsanangura huMwari seizvi:

 

 

Tarirai, sechimiro cheshiri chiri paTiriniti yeAssyria, kushandisa njiva kutsanangura Mweya Mutsvene.

Mwari Baba havana chiso zvinotyisa nekunyadzisa pakutsanangura munhu.

Njiva haisi munhu. Mufananidzo uyu unoita seVanhu vaviri. Saka zvinoratidza kuti veTiriniti havagutsikani.

JOHANE 5:37 Naivo Baba, vakandituma, ndivo vakandipupurira vo. Hamuna kutongonzwa inzwi ravo, kana kuvona mufananidzo wavo.

Kurangarira Mwari, Mweya, ari nechimiro kurwisa Magwaro. Hatifaniri kuita izvozvo.

 

 

Chick akabva azoti shandisei pfungwa zvishoma akashandisa mwenje mitatu kutsanangura huMwari, nemutumwa amire kuseri kwayo. Asi Bhaibheri rinoti Mwari Chiedza, kwete zviedza. Saka Tiriniti haisi kuenderana neBhaibheri.

I JOHANE 1:5 Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidzirai vo, kuti Mwari chiedza, hamunerima maari.

Zviedza zvitatu izvi zvemufananidzo waChick zvinomiririra chiedza chimwechete chakadzima chisina gwara. Chisina gwara reMagwaro risingatauri kuti Mwari zviedza zvitatu.

Saka zvisinei nekuti Tiriniti yenyu munoipa mufananidzo wakaita sei, haukwani muMagwaro. Saka chinova chakavanzika chikuru chakaiswa mukereke yemaKristu pakanzuru yeNicaea. Hakuna akagona kutsanangura Tiriniti nguva iyoyo, uye hakuna anogona kutsanangura Tiriniti nhasi uno nekuti kutaura kwese kwakaita sekwekuti “Mwari Mwanakomana’ kana kuti Mwari Mweya Mutsvene” hakumo muMagwaro asi kuti “Mwari Baba” kuri muMagwaro. Asi veTiriniti havagoni kutiudza kuti nei izvi zvakadaro.

Nenguva iyi mabhishopu aipokana kuti Baba neMwanakomana vanofanira kuva vanhu vaviri vakasiyana asi neimwe nzira ari Mwari mumwechete. Ichi chinhu chisina kubvira chagadziriswa kana kunzwisiswa kusvika nanhasi chichiri chakavanzika. Saka zita rekuti Babironi yakavanzika rakatanga kushandiswa pakereke yeRoman Catholic.

Munhu wezvenhorondo mukuru kwazvo Gibbon akati, “ChiKristu chakapamba chipegani, asi chipegani chakabva chakunda nekubudirira kuvodza chiKristu”.

Kuti vatsanangure dzidziso yeTiriniti, kereke yeCatholic yakaumba mazwi ayo nekutaura kwayo vachishandisa mamwe mazano ezivo dzinonzi zivo.

Catechism of the Catholic Church.

Zvichibva padzidziso yeTiriniti, Baba neMwanakomana vakaenzana muTiriniti.

Asi Bhaibheri rinorwisa kutaura uku.

JOHANE 14:28 … nokuti Baba vakuru kwandiri.

Zvichibva paTiriniti, Mwari Baba munhu akasiyana neMweya Mutsvene.

MATEO 1:20 Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.

Munhu anoisa mbeu yehurume mudumbu memukadzi ndiye Baba vemwana anoberekwapo.

Saka Mweya Mutsvene, akasika mbeu mudumbu maMaria, anofanira kuva Mwari Baba. Mwanakomana, Jesu, seMunhu, haagoni kuita vanababa vaviri.

Dzidziso dzeTiriniti dzinoti Kristu anogara muhuMwari ari Munhu wechipiri muhuMwari.

Asi Bhaibheri rinorwisa izvi zvese nekutora kuzara kwehuMwari roisa Mwari wese munaKristu.

VAKOROSE 2:8 Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.

9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Pauro anotiyambirawo kuti tisarasiswe nezivo dzavanhu sezvo akafanoona kuipa kwaizokonzereswa nezivo dzevaGiriki mumafungiro emaKristu sezvo zvichititungamiririra kuti tibva pane zvakanyorwa muBhaibheri.

Kana Mwari ari Vanhu vatatu vakasiyana, Zita raMwari rinenge riri rekuti kudii?

Mune mamwe mazwi, zita rimwechete raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene nderekuti kudii?

Kana muchitenda kuti Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene vanhu vatatu vakasiyana, hamugoni kuwana zita rimwechete ravo vose. Saka munenge musina Zita raMwari wemaKristu.

Ndicho chimwe chezvikonzero chakarambirwa chiKristu naMohammed akasimbisa kuti zita raMwari wemaMoziremu rinonzi Allah. Mafungiro ake aive pachena. Mwari anofanira kuita Zita rimwechete.

Makore 1700 kumberi, kereke haisati yagona kuwana zita rimwechete raMwari.

“Munhu wechipiri muhuMwari” kutaura kusimo muMagwaro.

“Munhu wechitatu muhuMwari” kutaura kusimo muMagwaro. Munhu wechitatu uyu ndiMweya Mutsvene haana zita muMagwaro. Vanhu vatatu vanotsanangurwa nemaZita maviri, Jehova naJesu, hazvina kunyatsoita zvakanaka.

Asi hakuna Zita rimwechete kuti ridaidze vose vari vatatu. Totenda Tiriniti, Mwari wemaKristu haana Zita.

Ichi chaive chakavanzika chikuru cheBabironi chakapinda mukereke. Chinoramba chiri chakavanzika chikuru mumashure memakore 1700.

 

 

Mufananidzo weTiriniti kubva kuFrance. Hakuna Zita rimwechete raMwari wemaKristu rakaitirwa vanhu vatatu. Tarirai korona yaPope yezvidanho zvitatu inopfekwa naMwari Baba.

Ruben (1577-1640), munyori mukuru wemifananidzo, akanyora mufananidzo unodakadza kwazvo weTiriniti. Mwari baba akaratidzika seharahwa. Angararame kwenguva yakadii kana achiratidza zviratidzo zvekuchembera?

 

 

Chikamu chekusanzwisisika kweTiriniti ndechekuti mufananidzo uyu unomiririra Vanhu vaviri sezvo njiva isingamiririri mumwe Munhu. Bhaibheri harina charinotiudza pamusoro pekuti mufananidzo weMweya Mutsvene wakaita sei. Kana kuti Zita rake nderekuti kudii. Saka chero mufananidzo weMweya Mutsvene kufembera kwega. Uye kumuisa akamiririrwa nemufananidzo wenjiva zvinomubvisa pakuva Munhu wechitatu akazvimiririra ega. Saka nyaya yeTiriniti inoramba ichitikanganisa mafungiro nekutirasisa. MaGiriki vaive vanhu vanofarira gakava, vachirwira chokwadi kana kuti vachirwira chakaipa ndiko kwaive kuita kwavo. Chero vaikwanisa kukakavadzana zvaive zvakaringana kwavari. Saka gakava pamusoro peTiriniti rakaramba richienderera mberi kwemasenturi gumi nemanomwe uye hachisi chinhu chichamira kuva chakavanzika, asi vakabudirira kungowa maKristu mazhinji kuti atende zvisina kunyorwa muBhaibheri. Saizvozvo, Tiriniti inogona kuva iyo dzidziso huru yakabudirira nayo Satani kuba pfungwa dzevarume nevakadzi. Uye inosimbiswa nezivo dzemaGiriki dzakanatsa Babironi yechipegani nevamwari vekuEgipita kuti vagone kupinda mukuita kukuru kwekufunga kwekereke iyi.

Kanzuru yeNicaea iyi yaive chikanganiso chikuru munhorondo yekereke kubva pakutanga.

Vakatora Mwari weTiriniti aive panheyo dzezvieraera zvechipegani (semuenzaniso Isis, Horus naSeb vaive veTiriniti yekuEgipita).

Vakatendera munhu wezvematongerwo enyika Constantine kuti atore hutungamiri hwekereke nekudaidza musangano wekanzuru akatonga pakanzuru ipapo.

Vakatendera munhu wezvematongerwo enyika kuwedzera izwi risimo muMagwaro rekuti “esenzi” (essence), rakabva kuzivo dzemaGiriki, kuti rive muzvitendero zvechiKristu nedzidziso yeKuzara kwehuMwari.

Zivo dzemaGiriki dzakava nheyo dzechokwadi chekereke.

Izvi zvakazarura musuwo kuti mazwi mazhinji asimo muMagwaro akabva muzivo dzemaGiriki akaita serekuti Tiriadhi, vatatu- mumwe, Mwari mumwe muvanhu vatatu, Mwari Mwanakomana , Munhu weChipiri muhuMwari nezvimwe zvakadaro zvivepo. Constantine aitaura chiLatini saka aiturikira izwi rechiGiriki rekuti Tiriadhi kuriisa muchiLatini kuizwi rekuti Tirinitasi, ratinodaidza kuti Tiriniti. Hushe hwekumadokero hwaitaura chiLatini saka Tiriniti rakabva rava izwi rakaita mbiri rikashanda kusvika nhasi.

Nekusarudza kuti Mwari aive Vanhu vatatu, zvakabva zvatadzika kuti Mwari ave neZita rimwechete rinodaidza vanhu vatatu vese. Saka Zita raMwari rakabva raraswa zvakachenjera vanhu vachisarudza kumudaidza nemazita eZvinzvimbo zvake zvitatu, Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene. Asi hazvigoni vanotenda kuTiriniti havangatiudzi kuti Zita rimwechete raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene nderekutii.

Saka Mwari wemaKristu eTiriniti akarasikirwa neZita rake.

Ndicho chikonzero nei kazhinji hakuna makereke anowanzobapatidza muZita raJesu Kristu, zvatakadzidziswa kuti tiite naPauro. Ane makiyi edenga, kwete isu.

Kumhura Mwari kutora Zita raMwari mukunyengera nekushandisa zita rake pakupika. Hakuna mutadzi akambopika kana kutuka muZita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene. Jesu Kristu ndiro zita kana izwi rinowanzoshandiswa kutuka kana kupika ratinonzwa mazuva ese. Ndakatombonzwa muMoziremu achituka nezita raJesu. Saka vatadzi vanoziva kuti Jesu ndiro Zita raMwari wemaKristu. Saka Vatadzi vanoziva kuti Mwari paakava munhu zita rake reMunhu raive Jesu. MaKristu anoramba asingazivi chinhu ichi.

Kukanganisa kukuru kwekanzuru yeNicaea kwaive kwekuti kubva ipapo Bhaibheri raive risisiri rega dura rekuwana chokwadi. Kereke yaive yasununguka kuwedzera dzimwe pfungwa. Chero nhasi vadzidzisi veBhaibheri vanodzidzisa dzidziso dzisimo muMagwaro. Pavanowana anopikisa kana kubvunza, vanobvunza kuti dzidziso dzeTiriniti ndedzechokwadi here? “Hongu”, ndiko kudaira kwemaKristu zvikamu 99 kubva muzana nhasi uno. Zvino mudzidzisi anobva ataura nekufara kuti Tiriniti haimo muBhaibheri, imi muchibvuma kuti idzidziso yechokwadi saka vanhu vanenge vakufanira kutambira dzimwe dzidziso dzisinawo kunyorwa muBhaibheri sechokwadi. Kabhokisi kaPandora kekukanganisa kanobva kazarurwa zvekuti hapana chinodzoreka.

Pauro anoti kuita uku kwakatukwa

VAGARATIA 1:8 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa

Zvakavanzika zveBabironi zvisimo muMagwaro zvaive zvatanga kupinda mukereke. Vanhu vaizopokana nekuda kweTiriniti kwemasenturi pasina anobuda ari muchenjeri. Asi kuipa kukuru kwayakaita kwaive kuita kuti vanhu vatende kudzidziso dzisina kunyorwa muMagwaro. Izvi zvinozarura mikova kudzimwe dzidziso dzisimo muBhaibheri.

Zvikuru sei, mukova wakazarurwa kudutu retsika dzechipegani kuti dzipinde mukereke. Kuti vakwezve mapegani kereke yakapa mukana kutsika dzechipegani mukereke. VaKaredhia vaitenda mumazuva makumi mana erendi paunosiya kuita chinhu chaunoda kwemazuva makumi mana, mutambo wemwaka wepfumvudza wamwarikadzi wavo ishita. Izvi zvakatevedzerwa nekereke yakabva yashandura Ishita zvakanakisa kuiita Isita. Kana ukaita tsika dzechipegani pasi pezita rechiKristu, zvinenge zvakanaka. Ndiko kutaura kwavo. Mamiriyoni evanhu achiri kutenda mune izvi.

Mapegani vane mishonga yekupisira nemaruva mumatemberi avo. Izvi zvakatevedzerwa nekereke. Zvakanaka pakuoneka kwazvo, Mwari anofanira kufadzwa nazvo. Ndizvo zvavanotaura. Asi havana kukwanisa kuwana muenzaniso mumwechete zvawo muTestamente Itsva pakaiswa maruva mukereke. Chokwadi, izvi hazvifadzi, edzai kutsvaga mienzaniso yezvivakwa zvemakereke zvakavakwa muTestamente Itsva. Vaisangana mudzimba. Temberi yakavakwa nguva refu kwazvo Testamente Itsva isati yatanga.

Constantine paakamisa kuuraiwa kwemaKristu akapa zvivakwa zvizhinji nematemberi emapegani. Mapegani, nenzira zhinji vanotarisa kumashure kuna Nimrodi nerusvingo rwake rweBaberi kuti vawane kurudziro, vanoisa munongedzo patemberi yavo kuti unongedzere kudenga mugwara raigara vamwari vavo, sezvaive rusvingo rweBaberi.

 

 

Nekuti matemberi avakatora emapegani aive neminongedzo, maKristu akabva atanga kuvaka avo matemberi, vakatevedzera pfungwa yekushandisa munongedzo.

MaKristu akabva asarudza kusangana pakati nemapegani kupfurikidza kupa mhemberero dzavo netsika dzavo mazita echiKristu.

 

 

Kupemberera kwenguva yepfumvudza vachipemberera mwari wavo Ishita akauya ari muzai guru murwizi rweEfuraitisi rikatsotsonya. Mapegani anokwatisa mazai vonyora neruvara rwakanaka mateko awo. Mifananidzo yavo yezvepabonde vanoshandissa tsuro nekuti tsuro ndidzo dzinozvara zvakanyanya nekukasika. Mhemberero idzi dzakabva dzakudzwa dzikatanga kupembererwa nemaisita rabhiti nemaIsita egi.

Zviratidzo zvechipegani izvi zvichiri pamusoro soro mune zvekushambadza zvemabhizimisi, pasi rese, kuitira mutambo wechiKristu wekupera kwevhiki reIsita.

 

 

Kunamata Mwana naMai vake kwakatorwa kubva kuBabironi kunonamatwa mai nemwana wavo Semiramis, mukadzi waNimrodi, nemwanakomana wake Tammuzi.

Izvi zvakabva zvaitwa pana Isi naOsiris kana kuti Isis naHorusi muEgipita. Isi naIswara kuIndia. Venusi naJupita muRoma.

Mai neMwana pamifananidzo yaMaria naJesu ichiri kuwanikwa pasi rese.

Mifananidzo iyoyo inoratidza Maria akapfeka korona saMambokadzi kuDenga. Chinzvimbo chechipegani chakaitirwa mwarikadzi wechipegani.

Semiramisi ndiye aive mambokadzi wedenga wekutanga. Kereke yakatevedzera mapegani zvisina muganhu.

Semiramisi aive mambokadzi wedenga achinamatwa samwari wemwedzi vachishandisa banzi rakatenderera.

Kakuita kehunyanzi mukubika chingwa inonzi pesitiri pachirungu kanoburitsa “T” kana kuti “t” pamusoro pebanzi kakaisirwa kuti pabude vara rekumiririra zita remwanakomana wake Tammuzi. Kereke yeRoma yakasarudza “t” muchinjiko rakazova banzi remuchinjiko rechiKristu.

 

 

Mhemberero dzemusi wa 25 Zvita dzekupemberera kuzvarwa kwamwari wezuva (dzakatangwa mugore 274 AD nemubati weRoma Aurelian) dzakashandurwa dzikaitwa mhemberero dzekupemberera kuzvarwa kweMwanakomana waMwari. Mhemberero mukereke yeRoman Catholic dzaizivikanwa nezita rekuti mamasi. Saka zuva iri rakabva ranzi Kirisitu masi. Izvi zvakazopfupiswa zvichinzi Kisimusi. Mumashure mekanguva vanhu vazhinji vakaona kuti izvi hazvina chekuita naKristu, saka vakabva vaisa X mukuru Kisimusi ikava Xmasi semaziviro atinoiita nhasi.

Zvino tine muti weKisimusi wakashongedzwa.

 

 

JEREMIA 10:2 Zvanzi naJehova, "Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu, musavhunduswa nezviratidzo zvokudenga; nokuti marudzi avanhu anovhunduswa nazvo.

3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.

4 Vanoushongedza nesirivha nendaram a, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka

5 Zvakafanana nembiru dzakavezwa, dzisingatauri; zvinofanira kutakurwa, nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya, nokuti hazvigoni kuita zvakaipa, kunyange kuita zvakanaka, hazvigoni."

Tinoudzwa kuti tisatevedzere nzira dzevaHedeni. Asi zuva reKisimusi nemuti wakashongedzwa zvinobva kutsika dzevasingatendi.

VAGARATIA 4:10 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.

11 Ndinotya pamsoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.

Gore rega rega kune nguva yeKisimusi musi wa25 Zvita zuva remwedzi wechigumi nembiri. Pauro aisazofadzwa nemutambo uyu wakapinda mukereke yeRoma makore akazouya mumashure megore 350 AD.

Bhaibheri harina kubvira rati tipemberere mazuva akazvarwa vanhu. Mazuva akazvarwa vanhu maviri chete ndiwo akataurwa muBhaibheri, zuva rakaberekwa Farao nerakaberekwa Herode. Vose vakauraya musi wekupemberera kuzvarwa kwavo. Zvino tinofungidzira zuva risiriro rekuberekwa kwaKristu pakati penguva yechando apo vafudzi havagoni kunge vari panze nemakwai avo nekuti kunenge kuchitonhora zvakanyanya muParesitina nekuda kwechando chinochena ikoko. Munofunga kuti Mwari anofadzwa nazvo here?

Asi zuva rekupemberera kuzvarwa rechipegani iri ndiro mhemberero huru dzechiKristu dzepagore. MaKristu anorida kwazvo zvekuti havagoni kurisiya. Vakatoshandura zvakataurwa neBhaibheri vakati vazivi vakauya muchidyiro kuzopa zvipo kuna Jesu. Ndicho chikonzero chinoshandiswa pakutengerana kunoita vanhu zvipo.

Vazivi vakapinda mumba makore maviri mumashure mekuzvarwa kwaJesu atove mwana, kwete rusvava. Asi maKristu mazhinji anoramba Gwaro iri nekuti rinorwisa tsika yavo yezvipo zveKisimusi vachiti kupemberera kuzvarwa kwaJesu.

MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawana Mwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.

Ndizvo zvakavanzika zveBabironi zvakapinda mukerekemuna 325 AD pakanzuru yeNicaea zvikasvibisa kereke yemaKristu zvichiri nesu nhasi.

Zvigadziko zvemwenje zvinomiririra chimiro chekereke mukati menguva yekereke yechitatu. Chiedza chechokwadi chinotanga kudzima. Yawanana nezvematongerwo enyika nechipegani, kereke yenhema yakatsauka kubva pamuenzaniso weTestamente Itsva yakanyorwa nemapostora. Vanhu vanotungamirira ndivo vakutonga kereke.

 

 

ZVAKAZARURWA 2:12 Nyorera mutumwa wekereke iri paPergamo, uti: Zvanzi naiye unomunondo, unopinza, unocheka kwose;

Bakatwa rinobatanidza mativi maviri anopinza. Bhaibheri rinobatanidza Testamente Itsva neTestamente Yekare. Chiedza chezuva chinobatanidza hunhu hunorwisana hwemafungu nehwechinhu chinobatika. Jesu panyama Munhu, asi mweya unogara maari ndiMwari.

Makereke manomwe muAsia anoti: Efeso, Symirna, Pergamosi, Tiyatira, Firadhefia neRaodikia. Maguta matanhatu ane mazita awo akanyorwa sezvaari. Asi Pergamos rine zita rakanyorwa muchiGiriki. Zita raro chairo iPergamamu. Makore akapoteredza 1850 achibhishopu weIreland akabvunza kuti nei Pergamosi riri ndiro rega guta rakapiwa zita muchiGiriki? Mhinduro yaive yekuti munguva yekereke yechitatu (312- 606 AD) zivo dzemaGiriki dzaizopinda mukereke pakanzuru yeNicaea muna 325 AD kumashure kwemakore anosvika 200 egakava nekugadzirisa, vakazoburitsa dzidziso yeTiriniti yakanakisa, Babironi yakavanzika yaizokunda kwazvo kuburitsa kereke muBhaibheri.

VAKOROSE 2:8 Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.

9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Kunyengera kusinamaturo . Tinonyengerwa nezvinhu zvisina maturo tichifunga kuti tinokwanisa kuziva chimiro chaMwari asingaonekwe nenzira dzevuchenjeri hwemaGiriki hwakangwara. “Kusinamaturo” zvinoreva kuti tine kurangarira kuzhinji kwazvo asi kusingaenderane nekugona kutakura kwepfungwa dzedu.

I TIMOTIO 3:16 Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamweya, wakavonekwa navatumwa, wakaparidzwa pakati pavahedeni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubwinya.

Mwari akazviitira munhu nemufananidzo wake, iye ari Mweya mukurusa usingaonekwe, ukararama muMunhu iyeye aive akarurama.

JOHANE 14:10 Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo

Munhu haagoni kufamba pamusoro pemvura. Asi Jesu akafamba pamusoro pemvura zvinoratidza kuti aive asingori munhuwo zvake. Kuzara kwaMwari kwaigara maari, kukamuita Mwanakomana waMwari.

 

 

Chikamu chaMwari chinorarama mauri ndicho chega chinogona kukuita mwanakomana waMwari kana mwanasikana waMwari.

Munhu wenyama Jesu nemweya wake weMunhu (zvinobatana kuti zvimuite wenyama) zvaive zvisiri Mwari pachake ndicho chikonzero nei Jesu achidaidzwa kuti Mwanakomana waMwari.

ZVAKAZARURWA 2:13 Ndinoziva mabasa ako vuye kuti, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.

Cyrus paakapamba Babironi, muprista mukuru kana Pontiff wezvakavanzika zveBabironi akatiza nezvakavanzika zvake nepfuma yake achienda kuPergamosi. Kumabvazuva, mambo aive akutonamatwa samwari, asi iyi yaive isiriyo nyaya kazhinji kumadokero. Alexander the Great akapamba Persia akaonekwa, nemaGiriki, samambo-mwari aifanira kunamatwa nekuda kwebudiriro yake huru munezvehondo. Akafa mukuru wemauto ake Lysimachus akatora hushe hwePergmosi, akazvitiwo aive ari mwari-mambo. Paakafa Pontiff weBabironi akatorawo chinzvimbo akavawo mwari-mambo. Nekuti Pontiff wekutanga aive auya kuPergamosi aive asvikawo pamutambo wekupedzisira waBerishazari wakaita mbiri paive pagovanwa midziyo yakakosha inoyera yemuTemberi yemaJuda, muprista mukuru weBabironi uyu aionekwa ari pontiff akapfuma uye akakosha kwazvo pakati pemapegani ese. Vanamwari-mambo kana vanapontiff vekuPergamosi ndivo vaive maPontiff epamutemo chete nekuti ivo vega ndivo vaive vakabva kudzinza remuprista mukuru wekupedzisira weBabironi. Mwari-mambo wekupedzisira wePergamosi , Attalus III, akasiya hushe hwake achienda kuRome muna 133 BC paakafa. Saka Pergamosi raive ratogadzwa seguta resimba rezvakavanzika zveBabironi zvaSatani kwemakore anoda kuita 400. Zvakavanzika zveBabironi zvaive zvauya kuPergamosi kuti zvivigwe kubva kuvaPersia asi maGiriki paakatapa Persia, zvakavanzika zveBabironi zvaive zvanatswa nekungwara kwehuchenjeri hwemaGiriki. Zvino zvakavanzika zvakanatswa zveBabironi zvaive zvapihwa kuRoma. Asi kwaive kusina muRoma akanga akakosha akatora chigaro ichi kusvikira Jurio Kesari aisa chioko muhomwe kuti asarudzwe kuva Pontiff mutsva muna 63 BC. Nguvo nemitambo yemhemberero zvakabva kuBabironi zvakapa Kesari rukudzo rwakawedzerwa. Mbiri yake munezvehondo yakapawo huprista hweBabironi kuti hukudzwe kwazvo.

Asi chakasara muPergamosi rudo rukuru rwekunamata munhu saMwari.

Ichi chaive chigaro chaSatani chaicho chesimba pamusoro pevanhu, rudo rwevanhu rukuru rwekunamata mumwe munhu, nekusimudzira munhu iyeye kuti aenzane naMwari “sezwi raMwari” kana “muromo waMwari”. Kutaura kwemunhu kunotsiva Shoko raMwari. Kunamatwa kwemunhu uku kwaive kuri kukuru kumabvazuva, asi kwete kumadokero.

MABASA 12:21 Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herode akafuka nguvo dzovumambo, akagara pachigaro chake chovushe, akataura kwavari.

22 Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti: Inzwi raMwari, harizi romunhu.

23 Pakarepo mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asinakukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.

I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;

Munguva yekereke yekupedzisira Mharidzo yaWilliam Branham ndiyo mhere yekumutsa vasikana vakavata. Vanomutevera vanotsanangurawo kudanidzira uku “sezwi raMwari” (saHerode akanzi kutaura kwake kwaive “izwi raMwari”) pachinzvimbo chekuva izwi remutumwa kana nhume. Vanoti William Branham haatadzi. VeRoman Catholic vanotendawo kuti Pope ndiye anezwi raMwari risina kutadza mariri.

Mwenga wechokwadi anotenda kuti Bhaibheri ndiro Shoko, rakataurwa naMwari.

Kesari akafa muna 29 BC Pergamosi ikapuhwa mvumo yekumunamata samwari. Kesari akaita munhu wekutanga muRoma kunamatwa samwari. Paaive achiri mupenyu, mubati weRoma Augustus aive Pontiff aitevera akapa Pergamosi mvumo yekumunamata samwari.

Gratian (akatonga 375 – 383 AD) aive mubati weRoma akamisa kushandisa chinzvimbo chaPontiff.

Kubva panguva yabhishipu weRoma Leo I (440 – 461 AD), chinzvimbo chaPontiff kana muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi chaive chamedzwa chapinda mukereke yeRoma.

“Makabatisisa Zita rangu”. Vatendi vechokwadi vakagarira kure nekanzuru yeNicaea kana kuti kutobva vabva kwairi ipapo. Vaiziva kuti mazwi ese iwayo aive asimo muMagwaro aive asiwo nzira dzekusangana nechokwadi. Vakagara nemuenzaniso wemapostora vakabapatidza muZita raJesu Kristu pachinzvimbo chezvinzvimbo zvake zvitatu zvaBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene.

“Akatendeka wangu akandifira”. Muzambiringa wenhema, kereke chaiyo yeRoman Catholic yaive yatanga kurwadzisa nekuuraya vatendi vechokwadi vaisatenderana navo. Pope Leo I akapembedza mubati nekuuraya kwake vanhu vaipikisa kereke yeCatholic. Kuramba Tiriniti kwaive kwatanga kutorera vanhu hupenyu hwavo.

“Antipasi” zvinoita serinobva pakuti Anti-papas. Zvinoreva kuti anti Pope sezvo Pope achidaidzwa kuti baba vatsvene. Pappas izwi rechiGiriki rinoreva kuti baba.

MATEO 23:9  Musaidza munhu uri panyika baba venyu, nokuti mumwe chete ndibaba venyu, ivo vari kudenga.

Kupikisa Pope chaive chinhu chakaipa kwazvo. Baba ndivo musoro wemusha. Saka Pope, achidaidzwa kuti baba, aizviti ndibaba vekereke musoro wekereke. Asi Kristu ndiye Musoro wekereke.

VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.

ZVAKAZARURWA 2:14 Asi handifari nezvimwe zvinhu zvishoma kwauri, nokuti unavamwepo vanobatisisa dzidziso yaBarami, wakadzidzisa Baraki kuisa chigumbuso pamberi pavana vaIsraeri, chokuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo, nokuita vupombwe,

Mifananidzo kana zviumbwa zvekuveza zvaive zvatanga kupinda mukereke. Matemberi echiPegani akaitwa makereke asi vakachengeta tsika dzavo nemweya yavo yechipegani vachivodza chiKristu kuchiita chichechichechi chechipegani. Zviumbwa zvevamwari nevamwarikadzi zvakapihwa mazita matsva evatendi vechiKristu vaive vatsvene. Mufananidzo mutema waJupita wakatumidwa kuti Petro.

Kereke mukadzi. Ufeve chivi chinoitwa nemukadzi asati awanikwa. Hupombwe ndeapo paanenge akaroorwa oita chivi ichi. Saka kufeva zvinoreva kuti kereke yeRoman Catholic yaive isina kuwanikwa naKristu. Yaive isina murume. Kufeva pamweya zvinoreva kuti iri kuita zvinhu zvainoudzwa nevanhu zvinodyara mhodzi mupfungwa dzayo, rinova dumbu remweya. Mbeu idzi dzinokura kuita chikara chebato rekereke muNguva yeRima. Zvakavanzika zveBabironi yechipegani zvaive zvanatswa nehuchenjeri hwechigiriki hwakangwara. Mutambo mukuru wechiKristu chechipegani waive wepakanzuru yeNicaea muna 325 AD apo kereke yakatambira mazano echipegani ikamapa mazita echiKristu. Kuita uku kwaizoenda mberi apo vanhu vakangwara vairamba vachiitisa chiKristu kuti chive chipegani kusvikira Tiriniti, Kisimusi, Muti weKisimusi, 25 Zvita zuva rinonzi rekuzvarwa kwaJesu, mazai eIsita, maIsita rabhiti, nguvo dzakanakisa dzemitambo dzechiprista chechipegani uye mabhishopu ane nguwani mumisoro yavo yavakatevedzera mwari wehove Dagoni zvatora nzvimbo mukereke.

 

 

Pope, Pontiff, korona yezvidanho zvitatu, minongedzo yekereke, machongwe pamusoro peminongedzo yekereke, makadhinari, maachibhishop, mametiroporiteni, kuripira apo vanhu vanotenga kuregererwa kwavo kubva kuzvivi, kunamatira vakafa, kubapatidza vana, Zita raMwari richishandurwa kuitwa Baba Mwanakomana naMweya Mutsvene nezvimwe zvakadaro mutsetse wemazano asimo muMagwaro ukaramba uchikura.

Baraki aive mambo, munhu wezvematongerwo enyika. Akaita kuti Baramu asanganise varume vechiJuda nevakadzi veMoabi pamutambo. Mamoabi vaive vasiri maJuda akazara saka varume vechiJuda vaive vasingafaniri kusangana nevakadzi vechiMoabi. Kwaive kutadza kukuru. Mwari akauraya maJuda zviuru makumi maviri nezvina. Baramu akarasikirwa nechipo chake chekuprofita nekuda kwemari akaparadza zviuru zvevanhu. Pasi pezvipo zvinodadisa zvemari zvaive naConstantine, mubati wezvematongerwo enyika, kereke yeRoma yakatengesa nhaka yayo yekutevera Magwaro ikarasika ichitevera mazano evanhu. Zvitendero zvenhema izvi zvaizoita kuti mamiriyoni evanhu arasikirwe nemweya yawo.

Pakanzuru yeNicaea dzidziso yeTiriniti yakaitwa isimo muMagwaro. Inoshandisa nzira dzese dzemazano evanhu kuinatsira. MaKristu anotenda kuBhaibheri anofanira kugarira kure nayo. Zvinounza rufu rwemweya kukereke pavanodzidza kutenda zvinhu zvisina kunyorwa muMagwaro. Pauro haana kubvira ashandisa izwi rekuti Tiriniti. Akati tikadzidzisa chero chinhu chakasiyana nezvaakadzidzisa, tichatukwa. Kereke yeRoma paNicaea yakatora nhanho yayo huru yekutanga yakananga muNguva yeRima. Ukatamba nemwenje, mwenje unodzima. Vaive vatangawo kuvodza Bhaibheri.

ZVAKAZARURWA 2:15 Nokudaro unavamwe vo vanobatisisa saizvozvo dzidziso yavaNikoraiti, chinhu chandinovenga.

Dzidziso dzavanikoraiti kusimudzirwa kwemunhu mutsvene. Mupriest kana mufundisi anosimudzirwa kuti atonge kereke. Zvino bhishopu anosimudzirwa kuva pamusoro chaipo achitonga boka revafundisi nemaprista. Bhishopu weRoma akasimudzirwa kuva pakutonga mamwe mabhishopu.

Hushumiri hwemabasa mashanu hwaibva hwasimudzirwa pamusoro peungano kuti huite chiprista chaAroni cheTestamente itsva. Mwari anovenga kuzvikoshesa kwevanhu kwese uku . Zvaizonyatsosimudzira munhu kuti ave “Izwi raMwari” kana kuti “muromo waMwari” saka kutaura kwemunhu kunobva kwaenzaniswa neMagwaro kana kutokudzwa kudarika Magwaro.

Constantine akashandisa kwazvo mari nezvivakwa pakereke yeRoman Catholic zvakavaita mabwe etsoro anotambika nawo. Bato rezvechitendero rakavakwa riri nabhishopu weRoma pamusoro paro. Makore anodarika zana akazotevera bhishopu weRoma uyu aizodaidzwa kuti Pope kana Pontiff wezvakavanzika zveBabironi. Tichiwedzera, sabambo wekereke aizova kurutivi kwevanorwadzisa nekuuraya vese vanopikisa kereke yeRoman Catholic.

Vatendi vechokwadi havaida kuva chikamu chebato raive rakazadzwa netsika dzevaNikoraiti iri rakatonga munhandare rikatora ushe. Vatendi vechokwadi vaibatira Mwari munzvimbo dzavo dzaive dzakapararira, vasinganyanyi kuonekwa kunyange nevenhorondo. Pane dzimwe nguva munhu mukuru kwazvo akaita saMartin wekuTours aive achishandiswa naMwari kwazvo mukuedza kwake kuunza vanhu pakuninipa kwekutanga kwekereke yeTestamente Itsva zvekuti hupenyu hwake hwaairarama asingazvikudzi hune kurudziro yakanakisa munguva yedu ino. Satani aivaka bato rekereke rakagadzirwa, rine hutsinye, uye kuipa kukuru asi Mweya Mutsvene waive uchiri kukwanisa kushanda zvakasununguka muhupenyu hwevanhu vaive vakazvimiririra vega vaiisa hupenyu hwavo paShoko raMwari rakanyorwa muBhaibheri.

ZVAKAZARURWA 2:16 Naizvozvo tendevuka; kana usingaiti saizvozvo, ndichakurumidza kuvuya kwauri, ndigorwa navo nomunondo womuromo wangu.

Tsika dzavaNikoraiti dzaive dzatanga kuvaka kereke nekukasika kukuru nerubatsiro rwemubati. Kana vatendi vaiedza kugara mukereke iyi, vaizotsvairwa kupinda mudutu rekukanganisa rainyudza chokwadi. Munondo unobva pamuromo waMwari ndiwo Shoko, Bhaibheri rakanyorwa. Ndiro munondo unocheka nekwese, unobatanidza Testamente Itsva neTestamente Yekare. Chokwadi cheBhaibheri chinogaropikisa mafungiro evanhu. Jesu akakurira Satani nekugarodzokorora Shoko achiti “Zvakanyorwa zvichinzi”. Munguva iyi kanzuru yeNicaea yakatora vanhu ikavabvisa paMagwaro nekuzivisa mazano asimo muMagwaro. Nzira imwechete chete yekufadza Mwari ndeyekudzokera muBhaibheri. Kereke yakabatana nezvematongerwo enyika kuti izviitire mikana munyika kuti iwane mari nesimba. Nekuda kwaizvozvo kereke yakarasikirwa nehutsvene hwayo. Uku ndiko kwaive kurasikirwa kukuru nekuti Bhaibheri ndiro munondo waMwari wemweya zvinoreva kuti Mwari anokoshesa chokwadi cheMweya kudairika zvimwe zvese zvingawanikwe pasi pano. Kugara nezvakanyorwa muBhaibheri kwakakosha kudarika kutevera ruzivo rwevanhu vakachenjera.

Vatendi vechokwadi vakaona kushaikwa kwehutsvene mukereke yeRoma vakabuda mairi. Nhorondo yakashaiwa kuona vazhinji vavo asi Mwari akaramba achivaona hake. Vatendi vechokwadi kazhinji havasi mumaziso mevanhu sezvo chinangwa chavo kutendeka kuMagwaro pachinzvimbo chekuita mbiri nekuonekwa.

ZVAKAZARURWA 2:17 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, vuye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.

Mutsara unotaurwa kunguva imwe neimwe ndewekuti kereke ngaiterere ngainzwe zvinoreva Bhaibheri. Kereke haifaniri kuvaka mazano akasiyana kuti ienderane nekushanduka kwezvinhu munguva imwe neimwe. Mwari anoda kuratidza kuti Bhaibheri rimwechete, nenzira yarakanyorwa, rinogona kufambidzana nenguva imwe neimwe nezvinetso zvadzo zvakasiyana. Dombo rakasimba uye harifi zvenhando rinorarama risina kushanduka muzvivakwa mumigwagwa mumazambuko munguva zhinji. Dombo rinorarama nguva refu. Saka dombo mucherechedzo wekushaikwa kweshanduko pakutenda nekuvimbika.

Mwari ane zita idzva reumwe neumwe anenge akurira. MaKristu aya vaive vakasairirwa kurutivi nekereke chaiyo yeRoman Catholic. Vakavharirwa, kazhinji vachirwadziswa nekuiswa muhutiziro zvinhu zvavo zvichitorwa vairarama hupenyu hwakaoma. Vazhinji vakauraiwa nekereke chaiyo yekutanga. Kwaive kusina zvinyorwa kazhinji zvaitaura pamusoro pekuzvininipisa kwavo zvaizoita sekuti vakararamira pasina sezvo kazhinji tariro dzavo dzepanyika dzaiparadzwa nekereke yaive pakutonga. Asizve kune rumwe rutivi, vakaona kuti Mwari aigara maziso ake ari pavari. Nyika yakakanganwa mazita avo, asi umwe nemumwe akawana zita idzva sezvo dombo jena raive mukombe wekukunda pahondo. Zita ravo idzva raizova mukombe wekushingaira kwavo kuramba vakatendeka kuShoko raMwari apo zvese zvaive zvakavakomberedza mukereke zvaive zvapinda mukuitwa chiKristu chechipegani. Vakaramba vari pachokwadi kurubapatidzo muZita raJesu Kristu havana kutevera ruzhinji rwakanyengerwa kusvika pakutenda kuti Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene raive zita. Vakadya manna yakavanzwa, chakavanzika chikuru chaMwari. Vaiziva kuti Mwari wamasimba ose aive Mweya muTestamente Yekare aive auya panyika akazviputira mumuviri weMunhu akarurama, Munhu Jesu.

JOHANE 14:10 ... asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.

Jesu Kristu ndiro zita raMwari remunhu. Kuti Munhu agone kuva Mwari chaive chakavanzika chakavanzwa. Einstein akadzidzisa kuti chiedza chinokwanisa kuva mafungu (chichifamba semasai sai kuenda kumativi ese sezvinoitika kana ukadonhedzera dombo mumvura ) kana kuti chinhu chinobatika chinoenda kurutivi rumwechete chete (chakafanana nebara). Ichi ndicho chakavanzika chikuru chemamiriro ekunze.

Saka Jesu Chiedza chenyika. Anogona kuva munhu (anogara panzvimbo imwe) asi kuzara kwevuMwari kwakagara maari pamuviri seMweya Mutsvene unoshamisa (saka haanawo miganhu munzvimbo kana munguva).

Saka anorarama nekusingagumi pachokwadi.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23