Mweya Mutsvene unotizadza kana kutisimbisa
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Vanhu vakazadzwa nemweya vari mumakereke 45,000 akasiyana. Kusimbiswa zvinoreva kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri.
- Mweya Mutsvene unoda kukusimbisa wakazvimiririra
- Mwari anokumba kuti uve munhu akazvimirira anozvipira kuMagwaro
- Rubapatidzo rweMweya Mutsvene munzira dzakasiyana
- Mweya Mutsvene unoshandura hunhu hwedu kana takatarisana nehupenyu uye Magwaro
- Mweya Mutsvene unotigonesa kuziva Chokwadi cheBhaibheri patinochinzwa
- Rubapatidzo rweMweya Mutsvene runogonesa Mwari kukutungamirira
- Zvese zvinobva pambeu iri mumoyo mako
- Kana musingateveri Magwaro Mweya Mutsvene haugoni kukubatsirai
- Joere akaprofita marudzi mana aizorasikirwa nechokwadi
- Muteteni negwatakwata mweya yakachenjera, yakavanda iri mukereke
- Gwatakwata ndihwo hutsinye huri mubato rekereke yakarongwa nehutungamiriri hwevanhu
Mweya Mutsvene unoda kukusimbisa wakazvimiririra
Pamakazvarwa, Mwari vakasimbisa maoko enyu nemafingapurinti akasaruzika asina umwe munhu.
Chisimbiso ndechemunhu akazvimirira ega.
Mweya Mutsvene. Musiyano uri pakati “peChisimbiso” “neKuzadzwa” neMweya ndewei?
Mweya Mutsvene Hupenyu husingagumi.
“Zvinhu zvisingaperi-peri” zvinhu zvatisingagoni kunzwisisa isu vanhu. Tinofunga kuti zvinhu zvese zvinofanira kuita Mavambo. Zvinhu zvisingaperi-peri hazvina kubvira zvatanga uye hazviperi. Saka, tinoona “zvinhu zvisingaperi-peri” kuri kungoropodzawo zvako.
“Hupenyu” chinhu chatisingagoni kunzwisisa. Mweya isu hatizivi kuti Mweya chii. Hupenyu hauoneki kuedza kunzvera zvinhu zvatisingaoni kungofungidzira kwega.
Tinobva tasvika pane chimwe chinhu chinonetsa kunzwisisa.
Hupenyu hwako hwakafanana nendangariro dzako nekuti hupenyu hwako ndihwo hunoita kuti ugone kufunga.
VAROMA 8:27 zvino iye anonzvera moyo anoziva fungwa yeMweya kuti chii,
VAEFESO 4:23 Uye muvandudzwe mumweya wefungwa yenyu,
Mazwi ekuti “fungwa” uye “mweya” anoshandiswa achitsinhana.
“Ndapfungwa dzeMweya” uye “mweya wepfungwa”.
Saka pfungwa nemweya zvinofanira kureva chinhu chimwechete.
Mweya wenyu unoshanda mupfungwa dzenyu zvinobereka mafungiro enyu anodaidzwa kunzi ndangariro dzenyu.
Pachidanho ichocho, hamugoni kutaura musiyano uri pakati pemweya nendangariro.
Asi ikozvino tinosvika pachinhu chikuru chinofuratirwa kana kutarisirwa pasi nemaKristu.
ISAYA 55:8 Nokuti ndangariro dzangu hadzisi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzisi nzira dzangu; ndizvo zvinotaura JEHOVA.
Mafungiro aMwari ari pamusoro soro pezvatinogona kunzwisisa.
Tinofunga kuti nzira dzatinofunga nadzo ndidzo dzinofunga naMwari.
Nzira dzaMwari dzaanoita nadzo zvinhu dzakasiyana kwazvo nezvatinofunga kuti zvinofanira kuitwa.
Mweya Mutsvene Mweya waMwari. Saka, Mweya Mutsvene ndiye Mwari pachake.
Mwari ndiye Mutsvene Mwari ndiMweya.
“Mweya Mutsvene” ndiwo kutsanagurwa kungaitwe Mwari kuri nyore kwamungawane.
Saka, hatigoni kutarisira kunzwisisa nzira inofunga neMweya Mutsvene.
VAROMA 8:10 ... asi mweya mupenyu.
Saka, Mweya hupenyu zvakare.
Uye hupenyu chinhu chatinoziva zvishoma kwazvo pamusoro pacho nokuti hauoneki.
Tisati tatsvaga kudzidza zvakawanda pamusoro peMweya Mutsvene tinofanira kurangarira kuti tiri kushanda naMwari asingaonekwe akachenjera kwazvo kutidarika. Saka, hatifaniri kuedza kuisa Mweya Mutsvene pakamanikana totaura kuti “Izvi ndizvo zvinogaroita Mwari”.
Mafungiro evanhu ane miganhu yawo. Tinofanira kungwarira kuti vasaedze kusungana naMwari kuti tiedze kuvakwanisa mundangariro dzedu dzine muganhu.
Chisimbiso chinodzikisira chinzvimbo chakaiswa munhu neumwe munhu.
Munhu mumwe nemumwe mumazuva akare aive nechisimbiso chake ega.
Tarisai muviri wenyu wenyama.
JOBO 37:7 Unodzivisa ruvoko rwomunhu mumwe nomumwe;
Munhu wese ane fingapurindi yake ega.
Izvi zvinoratidza kuti tiri vaMwari uye Mwari anoshanda nemunhu umwe neumwe zvakasiyana nevamwe. Hakuna pamiviri yedu wakafanana neweumwe.
Chero rutivi rweruoko rweruboshwe nerwekurudyi rwechiso chemunhu rwakasiyana.
Tarisai chiso chaEinstein. Mufananidzo wekumusoro wakaitwa nezvidimbu zviviri zverutivi rweruboshwe rwakafanana rwechiso chake.
Mufananidzo uri pazasi wakaitwa nezvidimbu zviviri zvakafanana zvechiso chake zvekurudyi.
Saka Mwari anoisa miviri yedu vanhu pamwechete nenzira dzakasiyana zvachose pane zvatinotarisira.
Mwari vanokwanisa sei zvakasiyana zvidimbu zvemweya wavo mumuviri umwe neumwe pakati pedu?
MuKristu mumwe nemumwe anogamuchira chidimbu chakasiyana cheMweya waMwari nekuti Mwari vane mabasa akasiyana ekupa munhu mumuviri wavo, kereke.
I VAKORINTE 12:28 Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
Tarisai hushumiri hwakasiyana siyana.
Hakuna kutaurwa pamusoro papasita. Vaive vasina kukosha pakugadzwa kwekereke yekutanga.
Mwari haadi kuti kereke imwe neimwe itongwe nemunhu mumwechete.
I VAKORINTE 12:29 Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here?
30 Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here?
Haasi munhu wese anogona kuita chinhu ichocho.
Haasi wese anogamuchira Mweya Mutsvene anotaura nendimi.
Vamwe vanogona kudzidzisa nekutsanangura Magwaro vamwewo vanogona kunamatira varwere vachitobudirira.
Chakakosha ndechekuti tese takasiyana.
Asi kusiyana kwedu kunofanira kubatana kubereka muviri wevatendi unogona kurumbidza Mwari nenzira dzakawanda.
Mwari anokumba kuti uve munhu akazvimirira anozvipira kuMagwaro
Hakuna munhu mumwechete anogona zvese.
Mwari akagadzira nhengo imwe neimwe yemuviri wako zvakasiyana nekuti nhengo imwe neimwe yemuviri inoita mabasa akasiyana kuti muviri uzadziswe.
Hatisi tese takagadzirirwa kuita zvimwechete. Hatipupuri kupupura kumwechete tese.
I VAKORINTE 12:17 Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi?
Meso edu chishamiso kuti tione maonero atinoita. Asi haafaniri kukurisa.
Murima rehusiku, nzeve dzedu dzinotiyambira kudarika meso kuti muvengi akuuya.
Nguva yekudya, rurimi ruri mumuromo nesimba rekunhuwidza riri mumhuno ndizvo zvinoita kuti chekudya chinake.
Saka, Mwari vanoda kutizadza neMweya wavo kuti umwe neumwe abate chinzvimbo muMuviri wake wevatendi yakagadzirirwa iwe.
Kereke inoda kutifananidza setakabuda “mushina wekucheka chingwa” kutiita zvidhori zvapasita.
“Semushini wekucheka chingwa” unocheka zvidimbu zvakafanana zvechingwa kana mabhisikiti.
Zvitendero zvakaitwa nevanhu zvinotirasa zvotimisa kufunga nenzira yeMagwaro.
Tarirai kuti makereke mangani ari kusonesa nguwo dzakafanana.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene chiitiko chakasarudzika kuvanhu vasingafaniri kuwirwa nezvakafanana nezvinoitwa nevamwe.
MATEO 16:13 Jesu wakati asvika mativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?
Jesu paakabvunza kuti vamwe vanhu vaifungei, vadzidzi vaive vakagadzirira kudaira. Tinoziva kuti vamwe vanhu vanotii. Hatina edu mafungiro ekutaura.
MATEO 16:14 Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johani Mubapatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.
Chinhu chikuru muhupenyu ndechekuti tinozadzwa nepfungwa dzekuti vamwe vanhu vanofungei pamusoro pedu, asi hatidi kuzvifungira. Tinosarudza kutevera ruzhinji nemafungiro arwo. Chero dai mafungiro eruzhinji achibereka mhinduro dzakasiyana.
MATEO 16:15 Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?
Jesu akabva avaisa pakamanikana. Ivo pachavo vaifungei? Vakatya kupindura.
Kunze kwaPetro ega.
MATEO 16:16 Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.
Petro aive asingatyi zvaifunga ruzhinji. Aive nezaruriro yekuti Jesu ndiyani.
Aive akagadzirira kutaura pamusoro pezaruriro yake ega.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene munzira dzakasiyana
Ngatitarisei zviitiko apo Mweya waMwari wakaburuka panyika.
Soromoni paakapa Tembere yake, Mweya waMwari wakaburuka ukatungidza moto paaritari ukazadza imba kuti pashaiwe aizoshumira. Asi zvakaitika kamwechete.
Izvi zvinomiririra zuva rePentekositi apo Mwari akaburuka akapa kereke yake muchiitiko chenguva imwechete.
Hakuna manzwiro anonzi ukanzwa kudai unenge wasangana nerubapatidzo rweMweya Mutsvene. Zvinoitika kuvanhu vakasiyana nenzira yakasiyana.
Johane Mubapatidzi aive mudumbu raamai vake paakagamuchira Mweya Mutsvene.
Chokwadi, Johane aisagona kutaura asi akatamba nemufaro.
RUKA 1:41 Zvino zvakaitika kuti Erizabeti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,
42 Akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!
Erisabete haana kutaura nendimi iye naMaria vaive nehukama vaitaura mutauro mumwechete.
Baba vaJohane vakazadzwa neMweya Mutsvene vakaprofita.
Paive pasina chikonzero chekuti ataure nendimi sezvo vanhu ava vese vaivepo vaive maJuda vaitaura mutauro mumwechete vese.
RUKA 1:67 Baba vake Zakaria vakazadzwa neMweya Mutsvene; vakaprofita vakachiti ...
Mwari aishandisa mienzaniso iyi kuti adzidzise isu kuti rubapatidzo rweMweya Mutsvene runoburuka zvakasiyana muvanhu vakasiyana.
Petro naJohane vakaisa maoko pamusoro pemuSamaria, aive chimwe chikamu muJuda chimwe chikamu muHedeni, aitaura mutauro umwe iwowo wechiJuda. Saka zvakare hapana kutaurwa nendimi.
Simoni muuki haana chaakanzwa, akaona chimwe chinhu chichiitika. Asi hatina kuudzwa zvaakaona zvichiitika.
Chinhu chakakosha chaive chekuti raive rava boka rakasiyana uye chimwe chinhu chakasiyana chakaitika
MABASA 8:17 Ipapo vakaisa maoko pamusoro pavo, zvino vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18 Zvino Simoni wakati aona kuti nekuiswa kwemaoko evaapositori Mweya Mutsvene waipiwa, akavavigira mari
Kutaura nendimi kunoitika kana pakaita marudzi anotaura mitauro yakasiyana panzvimbo imwechete. Munhu anotaura nendimi anotaura nemutauro usiri wake waasingazivi, asi vanenge vakateerera vanogona kunzwisisa zvaitaurwa mumutauro wavo.
MABASA 2:4 Zvino vese vakazadzwa neMweya Mutsvene, ndokutanga kutaura nedzimwe ndimi, Mweya sezvaakavapa kududza.
5 Zvino kwaigara paJerusarema VaJuda, varume vaitya Mwari, vaibva kurudzi rwese rwevari pasi pedenga.
6 Zvino mutinhiro uyu wakati waitika, chaunga chikaungana chikavhiringidzwa, nokuti umwe neumwe wakavanzwa vachitaura nerurimi rwekwake.
Havatauri pajekerere mumutauro usingazivikanwi usina anenge achinzwa.
Kuedzwa kwemunhu akazadzwa neMweya ndekuku:
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirai muzvokwadi yose.
Munhu akazadzwa neMweya anozvipira kudzidza chokwadi cheMagwaro.
Haasi munhu wese anogona kudzidzisa Bhaibheri.
Saka, haasi wese munhu achagona kuziva zvakavanzika zveMagwaro. Ndicho chikonzero nei Mwari anoisa vadzidzisi mumuviri wevatendi.
Munhu akazadzwa neMweya anogona kuona chokwadi kana mudzidzisi weBhaibheri achitsanangura.
Haasi wese munhu akauya ari muprofita wekupedzisira. Asi tinoona here zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri patinonzwa zvichitsanangurwa? Ndicho chinhu chakakosha.
Mweya mutsvene wakafanana negwezva mukati mako. Zvakavanzika zvakafanana nezvidimbu zvegwezva zvinenge zviri mumoyo yedu zvinotanga kushanda kana Mweya Mutsvene ukafamba.
Kudaira kwako ndiko kwakakosha.
Jesu anoparidza mufananidzo wembeu ichikushwa.
Ivhu rakanaka mumufananidzo moyo wemunhu unokudza mbeu yobereka dzimwe mbeu zhinji. Dzimwe dzinobereka 30, dzimwe 60 dzimwe 100. hatienzanisi nedzimwe kana kunzwisisa kwedu Magwaro kuri kuwedzera nguva dzese. Kana pakaita kudavira Mwari vanoziva kuti takaedza nepataigona napo.
MATEO 13:23 Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu.
Chakavanzika chebudiriro kuzvipira kunzwa Magwaro nekuda kunzwisisa kuti anorevei.
Mweya Mutsvene unoshandura hunhu hwedu kana takatarisana nehupenyu uye Magwaro
Hama Branham, mune zvavakataura zvinotevera vanotaura pamusoro peMweya Mutsvene wakaita Chiedza chinoshamisa chaive chakaita seNyeredzi yakatungamirira vazvivi vekumabvazuva kuna Jesu. Hakuna mumwe akaona Nyeredzi iyi. Chaive chiitiko pakati pevazivi ava naMwari.
1963 -1222 ZVIPO ZVAMWARI ZVINOWANA NZVIMBO YAZVO NGUVA DZOSE
Vazhinji pano ... vakasimudza maoko avo kuti vaida kugamuchira Mweya Mutsvene.
... Dai Chiedza chimwechete ichocho chauya mumoyo mumwe nemumwe husiku huno, chiri kugadzirira parizvino.
Kunogona kushaikwa misodzi kana kufara. Kunogona kushaikwa izvi neizvo, zvichida hakuna umwe anozoziva sevazivi.
Asi dai chimwe chinhu chagadziriswa muvanhu ava, vakadzi nevakomana, nemoyo yevasikana husiku huno, kuti zvipo zvaMwari zvizodze hupenyu hwavo.
Kubva husiku huno zvichienda mberi, vachashandurwa.
Havarambi vari zvavaive vari. Vachava zvisikwa zvakashandurwa kubva zvino zvichienda mberi.
Dai va, sevazivi vemabvazuva, vafuratira varega kudzokera shure mukunoita zvenyika naHerode, mumuzinda waMambo.
“Asi kuyambirwa naMwari, vakatarisa divi”. Tipei Ishe.
Vazivi vakasangana naJesu vakaenda kumusha kwavo neimwe nzira.
Vaive mucherechedzo wekuti vakasarudza kufamba nenzira yakasiyana nezvavaimboita. Ndizvo zvinoverengwa.
Shanduko muhupenyu hwavo yaive humbowo hwekusangana kwavo naJesu.
GENESISI 32:24 Asi Jakobo wakasara ari oga; mumwe murume akaita mutsimba naye, kusvikira vutonga huchitsuka.
Jakobo akarwa naMwari. Kufunga kwaMwari kwakasiyana kwazvo nekwedu zvekuti tinosvika pakurwa naMwari kusvika tagona kutendeutsa pfungwa dzedu kuti titarire kuna Mwari. Ipapo chete ndipo patinokwana mumafungiro ake.
GENESISI 32:25 Zvino wakati achivona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu; hudyu ikaninguka nemutsimba naye.
Kuti tione Chiso chaMwari zvinoda kuti nyama isangane nemarwadzo.
GENESISI 32:30 Zvino Jakobo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Penieri: Nokuti wakati, Ndakavona Mwari vupenyu hwangu hukachengetwa.
“Penieri” zvinoreva kuti Chiso chaMwari. Jakobo zvinoreva kuti uyo anotambudzika ari muna Mwari.
GENESISI 32:31 Zuva rakamubudira napaPenieri, akakamhina pahudyu yake.
Jakobo “akabatwa”. Akakamhina. Akafamba zvakasiyana nezvaaimboita.
Ndicho chiratidzo chekuti wasangana naMwari.
“Penieri” kuenda kuna “Penueri”. “I” akabviswa pakaiswa “U”
Kutamba nemazwi. Tinotendeuka pakona.
Kana tikatarisa mukati “medu” hatifariri zvatinoona.
Tinofanira kushanduka kubva pakuzvida kusvika takuti tikatarisa kunze tinoona tichibatsira uye tichidika nevamwe.
Kutendeuka. Kutarisa rumwe rutivi kubva kuna “I” (ini) ndotarisira kubatsira “U” (imi, vamwe).
Hausi mutambo kana kufara kana kusuwa kunouya nechiitiko zvinoverengwa. Chero zvazvo izvozvo zvese zviripo.
Ishanduko inoitika matiri uye rudo rwedu rwekusazodzokera shure zvakare kune zvataive.
Rambai muchitsvaga chokwadi.
Rambai muchitsvaga kunzwisisa kwakadzama.
Rambai muchitsvaga kufamba muri pedyo naMwari.
Tinogona kana kusagona kugadzirisa nekuziva chokwadi.
Mweya Mutsvene unotigonesa kuziva Chokwadi cheBhaibheri patinochinzwa
62-0319 MBEU YECHIRATIDZO CHENGUVA YEKUPEDZISIRA
Munozvarwa patsva muMweya waMwari, mweya wenyu wopupura Shoko rimwe nerimwe rakanyorwa pano, vimbiso imwe neimwe yaanopa inozviratidzira mamuri. Mweya waMwari unouya wogara mamuri. Muri muviri waKristu, mumiririri wake panyika. Kana musina izvozvo, kana musingagoni kutenda muruponeso rweMweya ...
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO
Munoti, “ndakabapatidzwa, Mweya Mutsvene.” hazvirevi kuti makaponeswa, kwete nenzira huru.
Tarirai pano. Muri munhu wemitumbi mitatu. Muri. Mukati memunhu muduku uyu mune mweya wekufema, tevere mweya watinodaidza moyo nemuviri. Zvino, mune pfungwa shanu, dzinoyanana nemusha wenyu wepanyika. Hadziyanani nazvo zvese. Mune ndangariro shanu dzemweya, apa, rudo nekuzvitsiudza, nezvimwe zvakadaro, asi umu ndimo mamunogara. Ndizvo zvamuri.
Manzwiro anoonekwa emiviri yedu anoti, kuona, kunzwa, kubata, kuraira nekunhuwidza.
Manzwiro edu mashanu emweya anoti kurangarira, kufunga, kuyeuka, kuronga nekuzvitsiudza.
Asi kune nzira imwechete yekusvika pamweya ndiyo kuda kwedu (kunoratidzwa muruvara rweyero).
Mweya ndiwo hupenyu moyo ndiwo wakaputirwa mudende rehupenyu (mweya wekunzwa kufara kusuwa kana hutsinye).
I SAMUERI 25:29 Mweya waShe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu ...
Chinhu chimwechete chete ndicho chinogona kugara mumoyo. Kutenda kana kupokana. Hazvigari zvese.
Asi kuda kwevanhu kwenyama, sezvakuri, kunosimudza simba pakati pekutenda (kuvimba muShoko) nekupokana (kushaiwa kutenda muShoko raMwari).
Kana kuda kwedu kuri ndiko kwega kuri mumoyo medu zvinoreva kuti hatisimbiswi muHushe hwaMwari.
Nei?
Isu, vanhu, tinoda kutenda chikamu cheShoko raMwari asi totadza zviri nyore kutenda zvimwe zvidimbu zveShoko raMwari zvisingatiitiri.
Pasi pekufunganya nemiyedzo, kuda kwedu kunotitendera kuti tishaiwe kuvimba mumweya yedu chero dai tiine zvinangwa zvakanaka nezvido zvedu zvekubatira Mwari.
Mweya yedu yakaita seizvi.
Chero kamudzi kaduku kekushaiwa kuvimba kana kekusatenda muMagwaro mumweya yedu, tinenge taapadambudziko naMwari, chero kana tikaponeswa.
Kushaiwa kuvimba kana kusatenda kunotiisa munguva yeKutambudzika kukuru sezvo zvisina nzvimbo Kudenga.
Kana tisingagoni kuona Bhaibheri reKing James Vhezheni regore 1769 risingatadzi uye riri mukuru wedu, tinoshaiwa kutenda mumweya yedu tinenge tananga kumatambudziko.
Kuda kwevanhu chinhu chakakosha sezvo kuchitimisa kuva marobhoti. Asi panguva imwechete iyoyo, ndiyo sungawirirano yakaneta pakutenda kwedu sezvo zvichizotidzikisira kusvika pakushaiwa kutenda uye kufunganya.
Chakavanzika chekuva pakanaka naMwari ndeapo, zvichibva pakuda kwedu, patinoramba kuda kwedu kuna Mwari tomukumbira kuti atsive neKuda kwaMwari.
Zvese zvatinazvo tinozvipihwa naMwari. Chinhu chimwechete chatakazviitira ndiko kuda kwedu.
Nekudaro, kuda kwedu ndicho chega chinhu chatinogona kupa Mwari. Tokumbira Mwari kuti atore aparadze Kuda kwedu nekuti hakufi kwakatipinza Denga.
Tinobva taonekwa seizvi:
I VAKORINTE 15:31 Ndinofa zuva rimwe nerimwe
Kana Kuda kwaMwari kuri ndiko kwega kwakazarurirwa moyo yedu, ipapo chete ndipo patinogona kusimbiswa muna Mwari.
Zviitiko zvipi zvinotendera Kuda kwaMwari kusimbisa Mweya yedu kuti Kutenda chete muShoko raMwari kurarame mumweya yedu?
JEREMIA 31:12 Mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa
Mweya unoratidzirwa seMvura. Mweya unoratidzirwa semunda.
JOHANE 7:38 Anotenda kwandiri, rugwaro sezvarwakareva, nzizi dzemvura mhenyu dzichaerera kubva mudumbu rake.
39 Asi izvi wakareva zveMweya wavaizogamuchira vanotenda kwaari;
Saka, Mweya unodururwa mumoyo kudiridzira hupenyu.
Saka, chiitiko chekuzvarwa patsva chese chinosimbisa chinhu chikuru chimwechete.
Kana mweya wemoyo wako uri munda imbeu rudzii yamunenge madyara mumoyo mako?
RUKA 8:11 Zvino mufananidzo ndiwo: mbeu iShoko raMwari.
Mweya waMwari unobereka Kuda kwaMwari unosimbisa moyo wako kana mbeu yeShoko raMwari iri mumoyo mako.
Zvino mbeu yeShoko raMwari inokura mumoyo mako kurudziro iyoyo inozogonesa Mweya Mutsvene kubereka zvibereko zveMweya mamuri.
VAGARATIA 5:22 Asi chibereko cheMweya rudo, mufaro, rugare, moyo murefu, moyo munyoro, kunaka, rutendo,
23 Unyoro, kuzvidzora; hakuna murairo unopikisa zvakadai.
Mbeu imwe neimwe inomera kuti ikure muviri wayo.
I VAKORINTE 15:38 Asi Mwari anoipa muviri paanoda napo, nekumbeu imwe neimwe muviri wayo pachayo.
Mbeu yeShoko raMwari, kana yamereswa nemvura yeMweya inobereka zvibereko zveMweya mundangariro dzako pamwechete nekunzwisisa Shoko rake.
Zvinokupai kurudziro, mafungiro enyu, nemaiitiro emuviri wenyu zvichiita kuda Kwake.
Mwari vanobva vakuitai chikamu cheMuviri Wake, Tembere yake yeMweya kana kereke yechokwadi iri kuvakwa mukati memakore 2000 enguva nomwe dzemakereke.
Nhanho nhatu huru dzekuponeswa (kururamisirwa), kucheneswa nekurarama muhutsvene (kunatswa), rubapatidzo rwemweya Mutsvene (Mwari vanokutonga) Mwari vanosarudza munhu semudziyo, vomunatsa, vomuzadza nemabasa akanaka. Izvi zvese zvinowanzoitika munzvimbo dzemakereke zvosiya munhu ari pachena kukurudziro dzekereke dzinova musanganiswa wezvakanaka nezvakaipa, zvakarurama nezvisakarurama. Makereke anokanganisa kwazvo pamusoro pechivi chekutanga, Bhuku raDanieri, neBhuku raZvakazarurwa.
Nei Mwari vakada ropa remhuka kuti varuramisire zvivi? Kereke inoziva kuti ichi ndicho chokwadi asi havagoni kuchitsanangura.
Nei pasita ari musoro wekereke nhasi? Zvaive zvisina kumbodaro muTestamente Itsva uko izwi rekuti “pasita” rakataurwa kamwechete.
Kuzara kwehuMwari nerubapatidzo rwemvura hazvinzwisiswi neruzhinji rwevatendi veTiriniti.
Tobva tasvika pachikamu chakakoshesesa.
Munhu akazvimiririra anogona sei kuita kuti Mwari amutungamirire achibuda mutsika dzekereke kuti vagone kudzorera kunzwisisa chokwadi cheMagwaro, akazivikanwa nekereke yekutanga yemapositora?
JOHANE 8:31 Naizvozvo Jesu wakati kuVaJudha vakatenda kwaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
32 Uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
Rusununguko kubva kuzvivi zvekusatenda nekutadza kwevanhu mukereke zvinouya kune avo vanogona kutevera Chokwadi chiri muBhaibheri.
Mwari ari kuda kwazvo kuwana vanhu vakazvimiririra vekuti adzidzise Bhaibheri.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nekumutumwa wekereke yeVaRaodikia nyora uti:
20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
Pakupedzisira, Jesu amire kunze kwekereke achigogodza kumunhu akazvimiririra, kwete kuboka.
Kudzama, kwechokwadi chinoziviswa hakusisiri mukereke zvachose.
Kana vanhu vakaponeswa, makereke haagoni kuvadzidzisa mazano evanhu anonyengera pachinzvimbo chezaruriro dzakadzama dzezvakavanzika zveBhaibheri.
Makereke, anotongwa nemifungo yemapasita, ndiwo zvipingaidzo zvikuru zvinodzivisa vanhu kuwana chokwadi chakadzama cheMagwaro.
ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga richiti: Budai mariri, vanhu vangu,
Rimwe izwi. Kwete munhu wenyama achitaura asi munhu wemukati kutsiurwa kwemoyo kupfurikidza Mweya Mutsvene.
Nhanho yekupedzisira yeMweya Mutsvene ndeyekutiburitsa mukereke murudo rwekuva boka rinosika kudekara kunobva pakuchengetedzeka. Sekunge kugara mune mamwe mapoka emakereke izano raMwari rekupedzisira kurudzi rwevanhu. Kunyengerwa, kwete zano rekugadzirisa zvinhu.
Rangairirai kune masangano anosvika 45,000 akasiyana emakereke nemapoka emagungano. Sarudzai zvamunoda. Vese vakarasika saka vese hazvina kugadzikika kune chero muKristu akaponeswa ari kutsvaga kupunyuka nguva yeKutambudzika kukuru iri kuuya.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene runogonesa Mwari kukutungamirira
Kana muine mbeu yeShoko raMwari mumoyo yenyu, rubapatidzo rweMweya Mutsvene runosunungura simba rekugona kunzwisisa Shoko raMwari. Izvozvo zvinokugonesai kuwana nzvimbo yenyu muMufananidzo waMwari mukuru.
Munozokwana muZano raMwari raakaitira kereke yenguva yekupedzisira.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene harusi kupera kwezano raMwari pahupenyu hwenyu sezvo paripo Mwari anotanga kutonga hupenyu hwenyu.
Ipapo chete ndipo Mwari vanotanga kukutungamirira nekukushandisai muzvinanga zvake.
Mwari vanogona kukudzorerai kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga. Ipapo chete ndipo pamunokwanisa kuva makagadzirira Kuuya kwaShe.
Chekutanga, munofanira kuva makazadzwa neMweya kana Kristu, seIbwe renyu remusoro wekona, asimbisa mbeu yeShoko mumoyo menyu kuti muviri wenyu uve pakuzvipira kuShoko raMwari. Izvi zvinokupai rudo rwekunzwisisa Shoko raMwari.
Ipapo, senhanho inotevera, Mweya Mutsvene unokutungamirirai muzvokwadi yose apo mbeu yeShoko inokura mumoyo menyu kuti muwane nzvimbo yenyu muPiramidhi raMwari reMweya. Uyu ndiwo muviri wemweya wevatendi wakavakwa mukati memakore 2000 akadarika. Mumwe nemumwe wevatendi vanhasi anofanira kuzviwanira nzvimbo yake muchimisikidzo cheMweya chine kereke yese kubva munguva nomwe dzemakereke.
Ipapo chete ndipo mutendi umwe nemumwe achange agadzirira Kuuya kwechipiri kwaJesu.
Rubapatidzo rweMweya Mutsvene ndirwo Musoro weKona pahupenyu hwenyu kana muine Mbeu yeshoko muhana menyu.
Kuuya kwaJesu kwechipiri ndiko Musoro wekona wekereke yese inomutswa kuvakafa kubva munguva nomwe dzekereke.
MATEO 7:19 Muti umwe neumwe usingaiti chibereko chakanaka unotemwa wokandirwa mumoto.
20 Naizvozvo kubva pazvibereko zvavo muchavaziva.
MATEO 7:21 Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.
Kuda kwaBaba kuteerera Shoko raMwari.
Kudaidza Mwari kuti Ishe hakuna kukwanira. Munofanira zvakare kuteerera Magwaro.
MATEO 7:22 Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?
23 Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
Vaive neMweya Mutsvene kuti vaite zvinhu zveMweya unoshamisa.
Saka vanokwanisa kuti vane rubapatidzo rweMweya Mutsvene.
Asi vaisaita Kuda kwaMwari.
Vaive nemukana wekuita simba raMwari asi kwete chokwadi chakaziviswa cheShoko rake. Saka Mwari akavaramba.
Pentekositi yaive nezaruriro huru pamugwagwa weAzusa muLos Angeles muAmerica pakati pegore 1906 negore 1910. Rumutsiridzo rwakapararira asi negore 1917 vaive vadzikira vakungoshingirira mabasa eMweya anoshamisa aivagonesa kuzvigadzirira mazita ane mbiri. Vakagadza dzidziso dzavo voga mumasangano avo vakaramba Chokwadi chakaziviswa cheMagwaro chakaziviswa naWilliam Branham pakati pegore 1947 negore 1965.
Saka, munguva yedu, Mwari vanoti kana uine Simba rinoshamisa asi usingatendi Chokwadi chakaziviswa, munonoperera kunguva yeKutambudzika.
Nei?
Kana musingazivi chokwadi chakaziviswa cheMagwaro zvinoreva kuti hamusati matendera Mbeu yeShoko kukura mumoyo menyu.
Kuzadzwa neMweya hachisi chisimbiso chebudiriro sezvo Mweya uri mvura inodiridzirwa pamoyo wako.
Zvese zvinobva pambeu iri mumoyo mako
Kana ari masawi kana mbeu yetsangadzi, Mweya Mutsveen unoita kuti mbeu iyoyo imere asi inozowedzera kutadza nekurasika kwenyu.
ZVIREVO 1:30 Vakaramba mano angu: vakashovora kuraira kwangu kwose.
31 Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo, vachagutswa namano avo.
Kana tikaramba Magwaro tinenge tatanga rwendo rwusina kwarwunoenda.
JEREMIA 6:19 Inzwa iwe nyika, tarira ndini ndinovuyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo; nokuti havana kuteerera mashoko angu, kana uri murairo wangu vakauramba.
Makereke anoturikira Magwaro zvisiriizvo. Chero chinhu chakakanganiswa pamusoro peBhaibheri inhema.
ZVIREVO 18:21 Rurimi rune simba pamusoro porufu novupenyu: vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
JEREMIA 9:8 Marimi avo miseve inovuraya, anoreva zvinonyengera: munhu anoreva zverugare kunowokwake nomuromo wake; asi mumoyo wake unomuvandira.
Mutasvi webhiza raantikristu wekuna zvakazarurwa 6:1-2 murume wevuta asina museve unoonekwa. Rurimi rwake runobaya hunyengeri hwechitendero semapfumo akapinza. Izvi zvakaipisisa kudarika museve wakaitwa nevanhu nekuti nhema dzake, semuseve, dzinobaya moyo wemweya dzogaramo dziri kusatenda.
HOSEA 10:13 Makarima zvakashata, makachema zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nekuti makanga muchivimba nenzira yenyu; vuye nekuwanda kwemhare dzenyu.
Vanhu vanonyengerwa nemakereke makuru. Kuchengetedzeka muhuwandu. Zvichibva pakuparidza kunodakadza nembiri yavo huru.
Pachinzvimbo chekutevera Magwaro zvakazara
JEREMIA 17:10 Ini JEHOVA ndinonzvera moyo, ndinoidza itsvo, kuti ndipe umwe nomumwe zvakafanira mugarire wake, vuye zvakafanira zvibereko zvamabasa ake.
Itsvo dzinoisira bhiza miganhu. Itsvo dzemoyo womunhu ndizvo zvinangwa zvinotifambisa muhupenyu.
Kusarudza ruzhinji nekutevera ruzhinji kuti tirambe tiine mbiri. Kukanganisa kukuru.
ISAYA 66:4 Nenivo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya, nokuti panguva yandakadana, hakuna akapindura: panguva yandakataura havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.
Mwari vachawisira pamusoro pavo zvavanotya nemazano akaneta.
MATEO 5:45 Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.
Itsvo dzaMwari kana Mweya wake zvinogona kuwira pane asina kururama kana wakarurama.
Gideon aive munhu waMwari. Asi Mwari vakataura naye kupfurikidza muhedheni wemuMidiani. Vatadzi vaviri ava vakapihwa chipo chehope dzechiprofita nekuturikira.
VATONGI 7:13 Zvino Gideoni wakati asvika, wakanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake, kushamwari yake akati, tarira, ndarota hope ndikavona chingwa chakabikwa chebaari chichikungurukira kumisasa yavaMediani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira tende rikavata pasi.
14 Shamwari yake ikapindura, ikati: Hachizi chimwe chinhu asi ndiwo munondo waGideoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsraeri: Mwari wakaisa Mediani nehondo yose muruvoko rwake.
15 Zvino Gedioni wakati achinzwa kurondedzerwa kwekurota uku nekududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti JEHOVA akaisa misasa yavaMediani mumavoko edu.
Mumazuva edu apo chokwadi chakaziviswa hazvina kukwana kuti tiratidzire masimba emweya unoshamisa kana tisinganzwisisi chokwadi cheMagwaro. Kuda kwaMwari kuri muShoko rake. Tinofanira kunzwisisa Shoko rake.
ZveMweya unoshamisa zvakanakisa.
Asi avo vanogamuchira Mweya waMwari muhupenyu hwavo vasingazoshandisi Mweya Mutsvene kuvatungamirira muzvokwadi yose vacharaswa nekukandirwa munguva yeKutambudzika kukuru, chero dai vaive vakaponeswa.
Kutenda mukukanganisa kwekereke kusimo muMagwaro icho chokwadi chakaziviswa kunze kwekereke zvinoreva kuti muri murudo nekereke yenyu kwete nechokwadi. Ndiko kutadza nebwoni. Kuziva kuti chinhu chakaipa asi mongochiita.
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO
Jesu haana here kuti “Mvura inonaya pavakarurama zvese nevasakarurama”? Mukaisa masawi pano, negorosi uko modiridza nemvura, moisa fetireza nezvimwe zvakadaro, zvese hazvirarame nemvura imwechete iyoyo here? Chokwadi, chii chaizvo? Chimwechete chazvo chinobereka masawi nekuti ndizvo zvachiri. Masawi anosimudza maoko odanidzira sezvinongoita gorosi.
Bhaibheri hariti here, “Mumazuva okupedzisira, kuchauya vanaKristu venhema”? Kwete “Jesu wenhema,”ikozvino.
“VanaKristu venhema,” vakazodzwa, vakazodzwa nenhema paShoko; kuzodzwa kwemasangano, asi kusiri kweShoko.
Nekuti, Shoko rinozvipupurira. Harina chimwe charinoda. Rinozvipupurira nekuzvimiririra.
“Uye kuchauya vakazodzwa venhema.” mune kupupura kwangu pana izvozvo.
Oh, kana mukadaidza umwe wavo, moti, “Oh, muri, muri Jesu?”
“Oh, kwete.” havagoni kumira pakadaro.
Asi kana zvikasvika pakuti “Oh, Kubwinya! Ndakazodzwa!” ndiko kuzodzwa kwechokwadi. Rangarirai, Kefasi aiva nako, zvakare, akaprofita.
Zvimwechetezvo naBaramu aive nacho, akaprofita.
Asi izvi hazvina chekuita neizvi, mukati.
Kunze kwekunge yaive mbeu yaMwari, rudzi rwake kubva pakutanga, rwakatarirwa, munoparadzwa.
Handinei nekuti munodanidzira zvakadii, kutaura nendimi, kumhanya, kudanidzira. Hazvina chekuita nazvo.
Masawi anokwanisa kukura sezvinongoitawo zvimwe zvinhu zvese. Ndakaona vaHedeni vachisimuka, kudanidzira nekutaura nendimi. Vachimwa ropa kubva mudehenya remunhu, vachidaidza Diaborosi. Mazviona? Chero manzwiro nezvimwe zvese, zvikanganwei.
Moyo wenyu muShoko, ndiye Kristu. Anoriunza imomo, otarisa richizvizivisa nekuzarurwa kwarinoitwa sezvinoita dzimwe mbeu dzese, rozvizivisa munguva yariri kurarama.
Mweya Mutsvene uri mauri unoshanda chete kana mukatendera Mweya Mutsvene kuzivisa chokwadi cheBhaibheri chakazara.
Kana Mweya ukazivisa chokwadi chisingatendwi nekereke yako, mukaramba chokwadi ichocho, munenge madarika mutsetse.
Jesu akatiudza kuti humbowo hwehuvepo hwerubapatidzo rweMweya Mutsvene ndehupi.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika iye mweya wazvokwadi, uchakutungamirai muzvokwadi yese:
Mweya Mutsvene unokusimbisai chete kana muine mbeu yeShoko mumoyo wenyu umo Mweya unogona kumera kupfurikidza kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro kwamuri.
65-1207 HUTUNGAMIRIRI
Vakawanda venyu munofunga kuti, “Ndakabapatidzwa neMweya Mutsvene, ndiri kuenda Kudenga.” Izvi hazvirevi kuti muri kuenda Kudenga. Kwete, baba. Munogona kubapatidzwa neMweya Mutsvene awa rega rega muhupenyu hwenyu, moramba makarasika moenda kugehena. Bhaibheri rinotaura kudaro. Uh-huh, ndizvozvo chaizvo.
Munhu AKAZADZWA neMweya asi mbeu imwechete yaive mumoyo wake yaive mbeu yesora isingapindi Denga.
65-1207 HUTUNGAMIRIRI
Kana mweya wenyu ukazodzwa, ndiwo wechokwadi, Mweya Mutsvene wemazvirokwazvo, asi munokwanisa kuramba muri wakaipa.
“Oh,” munoti, “Hama Branham!”
Muprofita wenhema! Bhaibheri rinoti, “Mumazuva ekupedzisira kuchava nemaprofita enhema.” Jesu akati, “Kuchasimuka maprofita enhema,” ikozvino, hakuna anomirira zvakadaro; asi “vanakristu venhema.”
Kristu zvinoreva kuti “vakazodzwa”. Vakazodzwa nhema; vakazodzwa, asi ndevenhema pasi pacho, vanoita zviratidzo zvikuru zvezvishamiso vachitaura nendimi, vanotamba mumweya, vachiparidza Evangeri.
Judasi Iskarioti akazviita!
Kefasi akaprofita! Baramu munyengeri!
Chokwadi, vakaita zviratidzo zvese, zvese, mafambiro ese echitendero.
Asi, munoona, munoisa mbeu yemasawi negorosi mumunda umwe modira mvura pasi modzizodza dzose, dzese dzinofara. Dzese dzinokura nayo, mvura imwechete iyoyo.
“Zuva rinopenyera vakarurama nevasakarurama, mvura inonaya pamusoro pevakarurama nevasakarurama, asi nemichero yavo muchavaziva.
Kana musingateveri Magwaro Mweya Mutsvene haugoni kukubatsirai
Zvinoitwa neMweya mamuri hazvirevi chinhu kana muchitendera mbeu isiri yeMagwaro kukura mumoyo menyu.
Kana kufunga kwenyu kunenge kusiri kweMagwaro munenge marasa nzira yakamanikana.
MATEO 7:14 Nokuti suwo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuupenyu, uye vashoma vanoiwana.
MATEO 20:16 nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa.
Mwari anodana vazhinji asi anosarudza vashoma nekuti vanodaidzwa havarambi vakatendeka kuShoko vanorasika vachienda nedzimwe nzira.
Kupfurikidza kurasiswa nezviitiko zvehupenyu, vanobvisa meso avo pachinangwa chinova kutevera Magwaro nguva dzose.
ZVAKAZARURWA 17:14 Ava vacharwa neGwayana, uye Gwayana richavakunda, nokuti ndiIshe wemadzishe naMambo wemadzimambo; nevanaro ndevakadanwa nevakasarudzwa nevakatendeka.
Mwari haatisarudzi kana tisingatendi nekutendeka kukudana kwake.
Nzira imwechete chete iyo Mweya Mutsvene unogona kutisimbisa kutidzorera kunotenda zvakatendwa nemapostora ekutanga ekereke yeTestamente Itsva.
Zvitendero zvakaraswa muNguva dzeRima.
Nei zvakakosha kuti tidzokere kuzvitendero zvekereke yekutanga?
Mbeu inokohwewa inofanira kufanana nembeu yakadyarwa pakutanga.
Hupenyu hwese (Mweya Mutsvene) hwaive mudzinde (kereke) hunokoshesa kubereka mbeu yekupedzisira kana yekuguma yakafanana nembeu yekutanga.
ZVAKAZARURWA 1:11 richiti: Ndini Arifa naOmega, Wekutanga neWekupedzisira; uye kuti: Zvaunoona, nyora mubhuku, uye tumira kumakereke manomwe ari muAsia, kuEfeso, nekuSimirna, nekuPergamo, nekuTiatira, nekuSaridisi, nekuFiradefia, nekuRaodikia.
Kuyanana kuri pano kuri pachena.
Mweya Mutsvene wakagadza Shoko raMwari rechokwadi mukereke yekutanga yeEfeso totenda kushingirira kusina magumo kwevapostora.
Pakupedzisira, Mbeu yeShoko imwechete iyi ichadzorerwa yokohwewa munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia.
Asi pane chokwadi chinorwadza chiri mumamiriro ezvinhu. Mbeu inofanira kuvigwa muvhu yofa isati yaunza dzimwe mbeu zhinji.
JOHANE 12:24 Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kwekuti tsanga yegorosi yawira muvhu ikafa, iyo inogara iri yega; asi kana ikafa, inobereka chibereko chakawanda.
Saka Jesu aifanira kufa kuti atipe Hupenyu.
Kereke yekutanga yemapostora yaifanira kuurayiwa neHushe hweRoma yemapegani yodyarwa mutsvina yekereke yeRoman Catholic munguva yeRima kusati kwauya Rumutsiridzo rwaMartin Luther rwakazounza Hupenyu hutsva.
Joere akaprofita marudzi mana aizorasikirwa nechokwadi
Izvi zvinomiririra nguva ina dzekutanga dzekereke.
JOERE 1:3 Vudzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vaka vavo, navana vavo vavudze rumwe rudzi runotevera.
Vabereki. Vana. Vazukuru. Nezvizukururwi.
Rudzi rwechina.
JOERE 1:4 Zvakasiiwa nomuteteni zvikadyiwa nemhashu; Zvakasiiwa nemhashu zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiiwa negwatakwata zvakadyiwa nomupedzachose
Basa guru reMweya Mutsvene munguva ina dzekutanga dzemakereke raive rekupikisa kurudziro yaikura yezvitendero zvisimo muMagwaro zvaisvibisa kereke.
Mweya Mutsvene une mabasa makuru maviri. Kubatsira vanhu vakazvimiririra kuti vakure nekuwana nzvimbo dzavo muMuviri waShe, makore 2000 enhorondo yekereke.
Tosvika paMufananidzo Mukuru. Kuita kuti Zano raMwari rizadziswe munguva imwe neimwe yekereke. Hazvina chekuita nevanhu vakazvimiririra nemazano avo kana shungu dzavo. Mamishinari mazhinji vakafa nezvirwere kana kuurayiwa nevaHedeni vavaiedza kutendeutsa. Nekuti vazhinji vavo raive basa rakaoma rinotyisa asi vaizvipira vakasiya mabasa avo kuti vaite basa rekufambisa Shoko. Paifa umwe neumwe wavo, vaipfuudza chiedza cheEvangeri kumunhu aizvipira aitevera aizvipira kuita Kuda kwaMwari pamusoro pezvido zvavo pachavo. Vazhinji vakaripira muripo wakaomarara asi nguva yemamishinari yakaramba iri nguva yakanakisa munhorondo yekereke zvichiri kubatsira nguva yedu. Vakafira kuparidza rudo kuvanhu vasina kuponeswa. Hupenyu hunokura kubva murufu. Mamishinari aive neHupenyu husingaperi, sezvaive makumi emamiriyoni evatendi vakaurayiwa semadhonza muNguva dzeRima dzaive dzakaipa kwazvo vachiurayiwa nekereke yeRoman Catholic. Vazhinji havana kubvira vaziva kuti vakaberekerwa muchikamu chipi chebudiriro yekereke. Vaitenda zviri nyore vakaita basa guru nepavaigona napo zvisinei nezviitiko zvakaomarara zvavakasangana nazvo.
Mwenje minomwe iri pachigadziko chemwenje yaimiririra nguva nomwe dzemakereke.
Mwenje wepakati unomiririra kutanga kwenguva yekutanga yekereke yeEfeso kubva gore rinenge AD 33 kusvika AD 70 apo mapostora mazhinji vaive vachiriko vasati vaurayiwa.
Zvino mwenje waidzima wakaratidza kuti chokwadi chekutanga ichi chakarasika sei munguva ina dzekutanga dzekereke kusvikira mwenje watopotsa wadzima muNguva yeRima.
Nguva nomwe dzemakereke dzinomiririrwawo nemaguta manomwe ekuna Zvakazarurwa Chitsauko 2 ne3.
Mweya Mutsvene waifanira kuedza kumisa kuwisirwa pasi kwechokwadi kwaiitwa nevanhu vaive neshungu vakatora kereke vakaita kuti maKristu azvininipise kumazano evanhu evatungamiriri vemakereke vakasimudzirwa pachinzvimbo cheMagwaro.
Gwara rekubva Efeso kusvika Raodikia rinofamba nenzira isiyo, mucherechedzo wechokwadi chairasika. Nzira iri kuresa kubva pane yekutanga iPergamosi, nguva yekereke yechitatu yakaitwa Kanzuru yeNicaea muna AD 325. Vakashandura Magwaro nekuwedzera mazwi asimo akaita serekuti “Tiriniti” “Mwari Mwanakomana” vakabvisa zita raJesu parubapatidzo rwemvura. Vakabvisawo Jesu sezita raMwari Wamasimbaose sezvo vaisingakwanisi kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu, saka Kereke yakaguma yakushandira Mwari asina zita weTiriniti. Vakabvisa rubapatidzo rwemvura rwevanhu vakuru vakarutsiva nekumwaya mvura pavana.
Dambudziko guru raive rekutaura kuti ‘Muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene” raive zita raMwari. Nekuti zvinzvimbo zvitatu zvaive zita.
Saka, vakanyengerwa, vakarasikirwa neZita raMwari nekuti havazivi kuti zita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene nderekuti kudii.
ZVAKAZARURWA 2:13 Ndinoziva mabasa ako nepaunogara, ndipo panechigaro cheushe chasatani:
Ichi chaive chigaro chaSatani. Kereke yakabvuma kuwedzera mazano ayo muBhaibheri vakabvisa zvimwe zveBhaibheri. Bhaibheri raive risisaonekwi seMukuru uye Shoko raMwari risingatadzi.
Saka, Mweya Mutsvene unoshingirira kuona vanhu vachiramba Shoko raMwari rakanyorwa vachiritsiva nemazano avo akachenjera asiri muMagwaro akanyorwa.
Mweya Mutsvene pawakatanga kudzorera chokwadi, kukosha kukuru kwaizotsiviwa nekungotenda zvakanyorwa muBhaibheri.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika iye mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yese:
Zvipo zveMweya Mutsvene zvakakoshawo. Munogona kana kutadza kuita zvishamiso. Asi Mweya Mutsvene haugoni kukudzidzisai chokwadi uchishandisa Bhaibheri, minana yese yamunoita haigoni kukugadzirirai kuKuuya kwaIshe.
Mosesi akashandisa simba raMwari kuzadza Egipita nematafi.
Asi vanhu vaFarao vanoita zvemashura vakazviitawo.
EKSODO 8:7 N’anga dzikaita saizvozvo novuroyi bwadzo, dzikaraira matatya kuti akwire panyika yaEgipita.
Vakaita chishamiso asi hazvina kureva kuti vaive vachigonera Mwari.
Kutenda muShoko raMwari ndiko kunotiponesa.
RUKA 8:12 Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo diaborosi anouya ndokubvisa shoko pamoyo wavo, kuti varege kutenda, vaponeswe
Kutiita kuti tirambe Magwaro ndicho chombo chaSatani chikuru.
Tyatira ndiyo yaive nguva yekereke yechina yekurasikirwa nechokwadi.
Kwemakore 900 vakagadzira zvitendero zvevanhu vakazviita masangano nemapoka emakereke anoparadza hupikisi hwese.
Makumi emamiriyoni evakapikisa vakaurayiwa. MaPope vakashanduka vakararama hupenyu hwakaipa hunonyadzisa. Mbeu yechokwadi yenguva yekereke yekutanga yaive yavigwa pasi petsvina nezvakaipa zvekereke yeRoma munguva refu yehusiku hweNguva yeRima.
Chinhu chakaipa ichi chaive chibereko chekubva kwekereke paShoko raMwari.
Saka basa guru rehushumiri hweMweya Mutsvene nderekuita kuti vanhu vadzorerwe kuchokwadi cheMagwaro.
Muteteni negwatakwata mweya yakachenjera, yakavanda iri mukereke
Makereke mana ekutanga akaona Satani achirwisa kereke nenzira kana zvidanho zvina zvakasiyana.
JOERE 1:4 Zvakasiiwa nomuteteni zvikadyiwa nemhashu; Zvakasiiwa nemhashu zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiiwa negwatakwata zvakadyiwa nomupedzachose.
Hakuna anoziva kuti muteteni kana gwatakwata chii. Zvakamiririra mweya wakachenjera unosvibisa kereke.
Hakuna anoziva kuti zvipuka zvakavanzika zviviri zvakataurwa kuna Jobo zvimori chii.
Zvinomiririra zvisikwa zvakavanzika zviviri kana masimba anosimuka kubva mugungwa kana panyika kuna Zvakazarurwa Chitsauko 13.
Kereke yeRoma, apo chipuka chinobva mugungwa chinomiririra Europe ine vanhu vazhinji, painosimuka zvinoshamisa kuva nesimba pamusoro pemarudzi evatorwa vakambokurira Hushe hweRoma.
Ipapo America yekuMusoro yakasimuka chinyararire zvisina aiona pakati penzvimbo dzakawandisa vanhu (chikara chepanyika) kuti ive nesimba guru rinobatanidza makereke emasangano kuita mibatanidzwa yemakereke nemuzinda wayo mukuru uri muNew York. Muzinda wezvechitendero uyu wakaita mufananidzo wechikara.
Saka zvikara zvakavanzika zviviri izvi kubva muBhuku reTestamente Yekare raJobo zvaingomiririra simba guru asi rakavanzika raizosimuka mukati menhorondo yeKereke yeTestamente Itsva.
Danho rekutanga rakaona Satani achirwisa makereke maduku epanzvimbo aitongwa nevakuru vepanzvimbo.
Aida kutsiva izvi nekereke huru inotongwa nemunhu mumwechete.
Zvakadaro, sengwena nemvuu muteteni unomiririra kukura kwakanyarara uye kwakavanda kwechiprista chaAroni chakasimudzirwa chevaparidzi veTestamente Itsva vakadzvanyiririrwa nekumbunyikidzwa (vakatapa) (ungano). Tendai zvamunoudzwa nemuparidzi, kana kuti. VaNikoraiti. Mwari akavenga mweya iwoyo.
MaKristu ese akaponeswa vaprista. Zvinotiita kuti tese tive takaenzana.
I PETRO 2:9 Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, vupristi hwamambo
Hakuna muprista ari pamusoro peumwe muprista. Muprista Mukuru (Jesu) ndiye ari pamusoro pemuprista.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, andinovenga neni vo.
Kereke yekutanga yaitongwa zvakachenjera nemuenzaniso nedzidziso dzemapostora.
Mubati weRoma Nero akatanga kuurayiwa kwakaipisisa kwevaKristu pakati pegore 64 – 68 AD mapostora mazhinji akaurayiwa.
Kusimudzirwa kwevanhu vanotungamirira kereke kwakaitika mumashure merufu rwemapostora “mumakore akanyarara” pakati pegore AD 70 negore AD 120. Tinogona kutoshaiwa kana gwaro rakanyorwa remakore iwayo.
Nhorondo yakanyorwa kwakumberi apo zvinhu zvizhinji zvakaipa, zvakafana nekuti Petro aive kuRoma, zvaive zvatogadzirwa kare. Yatinoti nhorondo yemakore 50 ndeapo vanyori vakazonyora vaitiudza zvavakanzwa. Tinoshaiwa hombowo hwakakwana hwetsamba chaidzo nezvinyorwa zvenguva idzi. Poricapi aizivikanwa kwazvo akafa mugore AD 155 ane makore aida kuita 87 tingori negwaro rake rimwechete, rwakanyorerwa vaFiripi. Chero rugwaro irworwo runoita sekuti zvidimbu zviviri zvakabatanidzwa pamwechete.
Neimwe nzira, Mumashure megore AD 70, Bhishopu vakatora simba vakasimuka kusvikira umwe neumwe akutonga guta.
Gwatakwata rinomiririra kufamba kwakavanda munguva yekereke yechitatu paKanzuru reNicaea yakanyengera vanhu kubva paMagwaro apo kereke yaizviti ine simba rekuwedzera zvinhu zvisimo muMagwaro. Ipapo, zvakangovanda kudaro, vanhu vakanyengerwa kusvika pakubvisa zvimwe zvitendero kubva muMagwaro kusvikira, zvisina anoona, vakarasikirwa nezita raMwari nekuita Mwari Tiriniti. Hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.
Kukanganisa kwakatangira pamuteteni wakavanzika, mucherechedzo wemweya unonyengera.
Muna AD 70 mukuru wemauto eRoma Tito akaparadza Tembere neJerusarema. Nenguva iyoyo vakawanda vemapositora vaive vaurawa . Tomasi aive abva aenda kuIndia kwaakanourawa nemaprista eBrahmini.
Kubva gore AD 70 kusvika rinenge gore AD 120 paive nechidzitiro chaive chiri pamakore iwaya. Kun ogona kushaikwa zvinyorwa zvemaKristu. Chatinoziva chete kubva kumazuva iwayo ndezvakatonyorwawo nevanhu vakanzwa.
Umwe wemaKristu aizivikanwa aive Irenaeus. Hatina chokwadi chekuti akazvarwa rini kana kuti akafa rini. (Saka kwatinotora nhau idzi hakuna kuvimbika). Akararama makore anenge kubva muna AD 130 -202 AD. Saka kana akatanga kunyora paaive akumakore 30, zvinoreva kuti akatanga kunyora kunana AD 160, makore 90 mumashure mekuurayiwa kwevapostora vazhinji muna AD 90.
Ignetiusi weAntioki akanzi naEusebiasi (akanyora muna AD 325) akauraiwa muna AD 107 kana 108, asi Eusebiusi haana kupa chikonzero chekusaridza kwake zuva iri. Vamwe vadzidzi vanhasi vakati rufu rwake rwaifanira kuva rwakaitika muna AD 140. Tingori netsamba nomwe dzakanyorwa naIgnetiusi asi hapana kana imwechete yakaiswa gore rayakanyorwa.
Asi Ignetiusi ndiye munyori wekutanga kutaura kuti bhishopu weguta amire panzvimbo paMwari.
Ndicho chikonzero nei vanyori vetsamba, nekudisa kuchengetedza chinhu chekuti Bhishopu aive agara ari pakutonga guta, vakaisa mazuva asingazivikanwe patsamba nomwe dzaIgnetiusi vachidzokera shure nemakore anoda kuita makumi matatu.
Muteteni kapuka kakavanzika zvese memupedzachose. Hatizivi kuti zvimbori chii chaizvo.
Saka, munguva yerunyararo mumashure megore AD 70, mumashure mekufa kwevapostora vazhinji, neimwe nzira bhishopu akanyuka zvinoshamisa ari musoro wekereke paguta. Izvi zvaisazivikanwa mukereke yekutanga.
Johane Muzaruriri akafa gore rinenge AD 100. kwakanga kusisina mupostora akasara kuti atungamirire kereke achidzoreredza kurasika kwese.
Saka, Ignetiusi akanga asununguka kuparidza zvakaipa zvake pamusoro pekuti bhishopu aive atsiva Mwari mukereke .
Guta reFirripi raive nemabhishopu akawanda.
VAFIRIPI 1:1 Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni:
Pauro paainyora pamusoro pemabhishopu, haana kutaura nezvevakuru.
Vakuru (maeredha) nemabhishopu vakangofanana. Mukuru (eredha ) ndiye munhu, bhishopu ndiro basa rake.
ZVAKAZARURWA 2:6 Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa aVaNikoraiti, andinovenga neni vo.
KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 5
Tsika dzevaNikoraiti dzinoparadza zvinhu zvakakosha izvozvo pachinzvimbo chekupatsanura hushumiri kubva kuvanhu dzoita kuti vatungamiri vave vanaishe pachinzvimbo chekuva varanda.
Ikozvino dzidziso iyi inotanga sechiito munguva yekereke yekutanga. Zvinoratidza kuti dambudziko riri mumazwi maviri: ‘mukuru (eredha)’ (presibheterio) ‘nevatariri’ (mabhishopu). Nyangwe zvazvo Magwaro anoratidza kuti kune vakuru vakawanda mukereke imwe neimwe, vamwe vakatanga (Ignetiusi pakati pavo) kudzidzisa kuti pfungwa yekuti pana bhishopu yaive yekuisa kukosha kana simba maari nekutonga vakuru.
Chokwadi chiri panhau yezwi rekuti “mukuru” (eredha) chinoratidza kuti munhu wacho ndiyani, asi izwi rekuti ‘bhishopu’ rinotaura basa remunhu mumwechete. Mukuru munhu. Bhishopu ndiro basa remunhu wacho. ‘Mukuru’ (eredha) ragara rinotaura pamusoro pezera rekuberekwa kwemunhu muna Kristu. Mukuru, kwete nekuti akasarudzwa kana kugadzwa, nezvimwe, asi nekuti AKURA. Ane mwaka yakati wandei, adzidza, kwete mhwere, anovimbika nekuda kwezivo yaari nayo nehumbowo hwenguva refu ari muchiKristu.
Nhanho yechipiri, inomiririra kereke yechipiri yakatanga gore rinenge AD 170.
JOERE 1:4 Zvakasiiwa nomuteteni zvikadyiwa nemhashu; Zvakasiiwa nemhashu zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiiwa negwatakwata zvakadyiwa nomupedzachose.
Joere anotaura pamusoro penhanho yechipiri yemandimoni ari mhashu dzinoparadza.
Izvi zvinomiririra mhirizhonga yekurovererwa kwaibva kuHushe hweRoma yemaPegani. Mumwe munhu wezvehorondo anoti vanhu vanosvika mamiriyoni matatu maKristu vakaurayiwa neHushe hweRoma munguva dzemakereke maviri ekutanga.
Pakaita kuparadzwa kwemweya kwakakonzerwa nekusimudzirwa kwehutungamiriri hwevanhu.
Kuparadzwa kwemakereke epanzvimbo aive muMagwaro aitungamirirwa nevakuru kwakasika zvimisikidzo zvemakereke akaitwa nevanhu.
Marcus Aurelius akafa mugore AD 180 vakaronga kuuraya maKristu apo kereke yechipiri yakatanga makore akapoteredza AD 170. Vabati vakasiyana siyana vakauraya maKristu kusvikira Diocletian aronga Kurayiwa kukuru pakati pegore 303 negore 313. Akaedza kuparadza maBhaibheri ese nezvinyorwa zvechiKristu. Ndicho chikonzero nei zvakaoma kwazvo kuwana Bhaibheri rekutanga chairo rakanyorwa gore AD 400 risati rakwana.
Asi kuuraiwa muhondo uku kwakaparadzira maKristu izvi zvakaponesa zvimwe zvinyorwa sezvo zvakanga zvapararira nenyika vakatadza kusvika kwazviri kuti vazviparadze.
Kereke yechitatu iyi yakatanga gore rakapoteredza 312 AD apo Constantine akasimuka kuva nesimba akamisa kuurayiwa kwemaKristu. MaKristu akamutenda kwazvo zvekuti vakamutendera kutonga Kanzuru yeNicaea vakazivisa dzidziso yeTiriniti nekupa simba rake rezvematongerwo enyika kukereke yeRoman Catholic. Kukanganisa uku kwakaita kunge gomarara rinoparadza zvemweya mukereke kubva mukati mayo.
62 -0422 KUDZORERWA KWEMUTI WEMWENGA
Asi nhanho yake yetatu yaive mupedzachose. Hama! Yakaita zita rakaipa, kutanga, nemupedzachose. Chii chinoitwa nemupedzahose? Unopinda mugwati. Ndimo mune hupenyu, imomo. Hongu, baba, unopinda mugwati woparadza ruchengetedzo rwemuti. Ruchengetedzo!
Chitendero chii? Kuchengetedzwa. Ndizvo zvinoreva izwi rekuti chitendero. , “kuchengetedzwa”.
Saka, mupedzachose uyu, kana wapinda pakati peungano, waiita kuti vadekare; unobva watora ruwadzano rwese kubva pakati pavo, mumufananidzo wemhashu; unobva wauya wotora chitendero chavo wogadzira zviera era kubva marwuri, zvakanaka, kugadza mazwi echiorthodokisi. Kuzviitira chitendero, wowana vanhu vaunounganidza voita chiboka chavo pakadaro apo. Unotora chitendero wochibvisa kubva muMuti waMwari, gavi rine hunyoro mariri, unohubvisa. Mupedzachose! Muri kukaona here kapuka aka? Ndizvozvo chaizvo. Mupedzachose, ndizvo zvaive Roma mukereke yekutanga.
... Tarirai pavanodzoka, vatsvene vaMwari ava pavanoedza kubata Shoko, Roma inobva yapindira, yogamuchira zviyera yera, pachinzvimbo. Ikozvino ngatingoonai zvaakaita, dzimwe dzidziso dzake dzenhema, zvaakaita.
Rubapatidzo rwemvura. Kwavaive vatumwa basa ... Petro akati, zuva rePentekositi, pasi pekurudziro yeMweya Mutsvene Shoko raMwari, “Tendeukai mumwe nomumwe wenyu mubapatidzwe muZita raJesu Kristu mukanganwirwe zvivi.”
Roma yakaitei nazvo? Yakazvishandura, “Bapatidzwai, muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene,” kuchiita chitendero kwete dzidziso yeBhaibheri. Akaitei? Chakadyiwa, nemupedzachose. “Kumwaya mvura”, pachinzvimbo chekunyika, “muzita raBaba..”
“Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene” harisi zita. Hakuna chinhu chakadaro. “Baba” harisi zita, “Mwanakomana” harisi zita, “Mweya Mutsvene” harisi zita.
... Chinhu chinotevera chakaitwa nemupedza chose, wakatora rubapatidzo rweMweya Mutsvene.
Nekuti, kana muchaita Mweya Mutsvene chete, uchaisa chiedza paShoko iroro, kana muchizoita izvozvo.
Saka, vanofanira kuzviita nenzira yakati siyanei.
Mupedzachose wakapikisa chokwadi cheBhaibheri.
Saka Mweya Mutsvene wagara unokoshesa Chokwadi cheBhaibheri Chikuru chisingatadzi.
Iyi yaive nguva yekereke yechitatu yePergamosi. Guta raidaidzwa kuti Pergamamu asi Bhaibheri rinoita guta iri kuti rive iro rega remaguta manomwe ekuna Zvakazarurwa rakapihwa zita rinopera nechiGiriki chekuti -osi. Nei?
Dzidziso yeTiriniti yakaziviswa pakanzuru yeNicaea.
Kekutanga, izwi risiri muMagwaro “Tiriniti” rakaziviswa. Izvi zvaifanira kutsigirwa nekumwe kutaura kuzhinji kusimo muMagwaro. “Mwari Mwanakomana”, “Mwari Mweya Mutsvene”, “Munhu wechipiri muhuMwari”, “Mwari Mumwe muVanhu vatatu”, “Baba neMwanakomana ndeveesenzi rimwechete’. (Esenzi izwi rechiGiriki risiri muBhaibheri. “Esenzi” izwi risina zvarinoreva pamweya. Rinoreva chero zvamunoda kuti rireve. Saka harimiririri chokwadi). Vakatiwo “Baba neMwanakomana ndevekuita kumwechete”. Izvi zvinonetsa kunzwisisa sezvo Mwari Baba vari Mweya Mwanakomana aive Nyama neRopa. Zvinhu zvakasiyana nekure. Saka, nekushandisa mazano asimo muMagwaro vanhu vari kusunganidzwa muhunyengeri hweruzivo zwusina rwendo.
Kutsanangura kwemazwi echiGiriki akaita sekuti “Vatatu -mumwe” (Zvisikwa zvitatu zvakasiyana) “nehuMwanakomana husingagumi” uye “Baba neMwanakomana vakaenzaniswa” zvinogonesa dzidziso yeTiriniti kuziviswa tichishandisa mazwi asimo muBhaibheri.
Mupedzachose, waive chakavanzika, mweya usimo muMagwaro unotapa kereke.
Mukuita uku, Mwari vakarasikirwa nezita ravo. Zvisikwa zvitatu zvakasiyana zvakava Vanhu vatatu. Vanhu vatatu havagoni kuva nezita rimwechete. Munhu wechitatu muhuMwari (Kutaura kusimo muMagwaro) ndiwo Mweya Mutsvene usina zita muBhaibheri. Vanhu vaviri chete pavanhu vatatu muhuMwari ndivo vane Mazita?
Kana zita raBaba riri Jehova, zita iroro harina kubvira rataurwa muTestamente Itsva. Vanotenda kuTiriniti havagoni kutsanangura izvi.
Chimwe chinhu chakabatsira kusimbisa chakaipa ndechekuti maGiriki vaive vakachenjera kwavo pakurwira chakaipa.
Chingwa chechirayiro chakaitwa wafari rakatenderera uri mucherechedzo wamwari wezuva wekuEgipita chaisagurwa asi chaingoiswa parurimi rwemunhu chakadaro. Vanhu vainamata Mwari wezuva havana kubvira vakagura warari redenderedzwa iri sezvo waive mufananid wamwari wezuva. Vaprista chete ndivo vaimwa waini sezvo izvi zvaizovasimudza kuvaisa pamusoro peungano. Tsika dzavaNikoraiti. Kusimudzirwa kwemunhu pamusoro peungano kana sangano.
Saka basa guru reMweya Mutsvene nderekutidzidzisa kuti todzidza sei chokwadi kubva kuBhaibheri.
Bhaibheri ndiro rega mushonga waDiaborosi akazivisa zvakaipa zvizhinji mukereke yechitatu.
Saka, humbowo hweMweya Mutsvene muzuva redu kugona kwedu kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri nekubva padzidziso netsika dzekereke.
Negore rinenge AD 350 bhishopu weRoma Jurio I akazivisa Kisimusi musi wa 25 Zvita, zuva rakaberekwa Mwari wezuva.
Pakanzuru yeNicaea kurovererwa kwakaiswa pazuva reChishanu risingashandurwi.
Jesu akafa musi waive wakagara mwedzi, saka hazvingaiti kuti chive chishanu gore rega rega.
Kugara kweMwedzi kunoitika mazuva akasiyana mwedzi wega wega nekuti karenda reruna (mwedzi) rine mazuva 354 chete vakawedzera mwedzi minomwe munguva yemakore 19.
Tichiwedzera, Jesu aifanira kuva muguva husiku hutatu ari pasi penyika.
Saka, aifanira kufa musi weChina kuti amuke musi weSvondo mangwanani.
MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove mazuva matatu novusiku bwutatu; Naizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
Gwaiana rePaseka rakasarudzwa musi wechigumi rikauraiwa musi wechigumi nemana.
EKSODO 12:13 Taurai kuungano yose yavaIsraeri muti: Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwaiana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo mhuri imwe neimwe ive negwaiana rayo.
EKSODO 12:6 Zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, Ipapo vungano yose yavanhu vose vaIsraeri ngavarivuraye madekwani.
Jesu akasarudzwa pajekereke kuva Mambo musi weSvondo yeMichindwi, zuva rechigumi, paakaenda kuTembere, Imba yaBaba vake.
Saka zuva rechigumi nemana rinoita China.
Mugore AD 382 Bhishopu weRoma, Damasusi, akapihwa zita rekuti Pontifex Makisimasi kana Pontiffi nemuzukuru wake aive mubati weRoma Theodosiusi. Damasusi akabva ava muPrista Mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Kereke yeRoma yakava Babironi huru Yakavanzika.
Negore AD 400 bhishopu weRoma akava Pope. Izwi iri rakabva pachiratini chekuti “papa” nechiGiriki chekuti “papas” zvinoreva kuti “Baba”.
Negore AD 606 bhishopo weRoma aive akuzvidaidza kuti “Bhishopu Mukuru” paakatora simba pamusoro paBhishopu umwe neumwe wekereke. Izvi zvakatanga makore 900 eNguva dzeRima umo dzidziso dzekereke yeRoma dzakatsiva Magwaro.
Gwatakwata ndihwo hutsinye huri mubato rekereke yakarongwa nehutungamiriri hwevanhu
Kereke yakakandirwa musungano nemweya wekuparadza wesimba rezvematongerwo enyika rakamanikidza vanhu kuzvininipisa kumunhu anotungamirira.
Danho rechina kana nguva yekereke yechina yaive muteteni aimiririra bato rekereke. Tererai bato rekereke mushandurwe kuita shavishavi richatorwa kukwira Kudenga, ndiko kwaive kutaura kwavo. Makore mazana mapfumbamwe eNguva yeRima aifanira kuva Mereniyamu, kana makore 1000 erugare apo kereke yeRoman Catholic yakasimuka kuva nesimba muEurope.
62-0422 KUDZORERWA KWEMUTI WEMWENGA
Bhaibheri rakati, “Mumazuva ekupedzisira vachava nerudzi rwekunamata, asi vacharamba Simba zvakadaro, neHupenyu.”Nei? Muteteni wakahupedza. Zvakanaka. Bato rakahutora. Timotio wekutanga 3, Pauro akati, “Zivai izvi, mumazuva ekupedzisira, nguva iyo ichasvika. Vanhu vachava vadadi, vanozvitutumadza, vanomhura, vasingateereri, vasingatendi, vasi vatsvene, vasina rudo vasingagutsikane, vasvori veavo vakanaka, vamukiri, vane mirangariro mikuru yakavodzwa, vanoita sevanonamata vachiramba simba raMwari zvakadaro.” gwatakwata rakakwekweta rikapedzazvose.
... mupedzachose weRoma wakatanga kudya Muti weMwenga kusvikira kumidzi. Muti umwechete weRoma waka ... muti rudzii wakagura Kristu? [Sangano rinoti, “VaRoma.” Ed] muti ridzii wakatemera Mwenga waKristu pasi [“VaRoma”] Sei? Nekutsiva chimwe chinhu panzvimbo peShoko. Saka, muri kuona, kereke yevakapikisa isingatori Shoko raMwari mwanasikana wekereke yeRoma. Mwari haana kubvira, nechero nguva, aronga kereke. Kereke yeRoman Catholic ndiyo yakatanga kurongwa. Umwe neumwe wavo vanasikana, kwaro akazviitira hurongwa.
Vanofa naye. Bhaibheri rinotaura kuti, “Achapisa vana vayo nemoto.” Vangani vanoziva izvozvo? Bhaibheri rinotaura kudaro. Zvakanaka, Bhaibheri rinoti gorosi nemasawi zvinogona kukurirana kusvika zuva rekupedzisira, anozotanga kusunga masawi, omapisa. Gorosi roenda kuburiro. Ndizvo here? Masawi ari kuzviunganidza ega mukapato, nempoka emakereke, kuti vagopiswa neatomi. Ndizvozvo chaizvo. Asi kereke iri kugadzirira kuenda kuburiro, ndine chokwadi apo nyika, mukukwira kudenga mukubwaira kweziso, mukadzi akasununguka haangagari nhaka pamwechete nemukadzi akasungwa.
Saka mapato echitendero chemakereke akaparadza chokwadi nepavaigona napo.
Asi chiKristu chechokwadi chinobva pakutenda murumuko.
Saka, munguva nhatu dzekereke dzakatevera Mwari aizomutsa chokwadi kubva kutsvina yeNguva yeRima ochidzorera pakutenda kwekutanga kwemapostora.
Kudzorerwa kwechokwadi kunotiratidza kuti Mweya Mutsvene mukuru unoshanda sei.
Mwari vanoshanda nenzira imwechete nevanhu vakazvimiririra sezvaanoita nekereke.
JOERE 2:25 Ndichakudzorerai zve makore amakadyirwa nemhashu, negwatakwata, nemupedzachose, nomuteteni, iyo hondo yangu huru yandakatumira pakati penyu.
Tarirai kuti mavambo akashanduka zvakaita sei.
Muti weMwenga pawakaparadzwa, nhanho yaSatani yekutanga yakaita muteteni wakavanzika.
Asi chakaipa chaive chakachenjera uye chakasimba kuti Martin Luther achipikise. Nehushingi hwake, akangogona kurwisa pazvinhu zvakaipa zvairwisa ruponeso nemabasa. Uku kwaive kuparadzwa kwemweya kwakakonzerwa nemhashu dzakadya Magwaro kuti vanhu vatevere tsika dzekereke chete. Asi kuponeswa nekutenda chete kwaive kwakakosha kuri nhanho yekutanga kukaratidza kuti Roma yaigona kukuririka.
Kuti adzoreredze. Mwari akatanga nekuipa kwakaitwa nemhashu akasiya zvakaipa zvakachenjera zvemupedzachose kuti zvigorwisa pakupedzisira kana Mbeu yeShoko yaita kuti zvakavanzika zvayo zviziviswe. Chokwadi chosimbiswa mumoyo yevatendi. Saka tinofanira kudzidza Bhaibheri nekuti tinofanira kupikisa huchenjeri hwezvakavanzika zvemupedzachose zvisiri muMagwaro nedzidziso dzawo dzemakereke dzakaitwa nevanhu.