Mwenga anomirira Kutinhira kunomwe



Kutinhira kuchatipa Kutenda kwekukwira kudenga. Asi hatigoni kutorwa kukwira kudenga tisina miviri mitsva saka tomirira Kutinhira kunomwe kuti kusvike.

First published on the 2nd of May 2022 — Last updated on the 2nd of May 2022

Kereke yekutanga yainzvera Magwaro mazuva ose vacihtsvaga kutaura kwaPauro

 

Totenda kupfigwa kwakaitwa zvinhu nehutachiwana hwekorona mugore 2020, vemafirimu vane mbiri, vezvemitambo vane mbiri havachabvunzwa kuti vanofungei nezvedambudziko iri.

Ikozvino meso ese akaiswa pananachiremba nevesainzi vanotaura ZVINHU ZVAKAKOSHA.

Mwari ari kushandisa denga iri kuedza kudzidzisa chidzidzo.

Kuramba mifungo yevanhu nemazwi akabatwa paitaura vanhu tosimba nekutaura kweBhaibheri, pane zvakanyorwa muBhaibheri.

Mharidzo dzaWilliam Branham dzakapatsanurwa kuva mapoka maviri, vasikana vakangwara nevasikana mapenzi kana kuti mhandara dzakanyengerwa.

Vasikana mapenzi vari mumakereke “emharidzo” (kutaura kusiri muMagwaro) vachivhima zvakataurwa kuedza kutsanangura kuturikira kwavanoita zvakataurwa. Vanofuratira zvakachenjera kana kuti havatozivi, zvakataurwa zvinorwisa kutaura kwavo.

Vanofara kuita fungidziro dzavo pazvinenge zvichivaitira kufukidzira kushaiwa zivo kwavo.

 

Havana Magwaro kutsigira maonero avo.

 

Kusaziva Bhaibheri ndechimwe chirwere chapararira pasi rese, chirwere chemweya.

Chinhu chisipo zvachose pavanhu kugona kuyananisa Magwaro kuti titsanangure zvaanozivisa.

Vanosimudzira zvakataurwa pamusoro peMagwaro vosimudzira hama Branham kuvaita munhu asingatadzi uye “Izwi raMwari” kunyange dai Izwi raMwari risina kuvimbiswa kunguva yekupedzisira. Nekukakavara kukuru, vanoyananisira kukanganisa kwehama Branham panzvimbo dzavaimbozvirwisa pakutaura kwavo vega.

Vanhu vakachenjera kwazvo “pakutaura kaviri”. Vachitamba nemazwi kuti vaite kunge kupokana kwekutaura kwemunhu mumwechete hakupokani.

Izvi zvinodaidzwa kuti kurodza njere asi hakubereki chokwadi.

Vanofuratira zvinhu zvakakosha zvekuti hama Branham vaitokanganganisawo.

Asi Izwi raMwari harigoni kukanganisa. Saka vanoramba kuti aikanganisa.

Hakuna chiriko mapofu sevaya vasingatoone

kereke yeRaodikia inotsanangurwa ichinzi mapofu, saka chiprofita chinozadziswa.

Mwenga ndiyani?

Vatendi veMharidzo vanoti vanotevera hama Branham, vanomanikidzira kutaura kuti ivo vega ndivo Mwenga.

ChiKristu chemakwikwi chinosanganiswa nenzira dzakachenjera dzinoshandiswa kushambadza munzvimbo dzekutengesa.

Chinhu chakanyanya kuoma pakushanda nevatendi veMharidzo ndechekuti havatauri vachitora zvavanotaura muMagwaro asi kubva pane zvavakabata paitaurwa.

Hakuna vhesi remuBhaibheri rinotaura pamusoro “pevatendi veMharidzo” kana kuti “kereke yemharidzo”.

Hakuna vhesi muBhaibheri rinoti tinofanira kuva tiri “muMharidzo”.

Pauro nemapostora ekutanga vakanyora Testamente Itsva.

Vaida kuti tiparidze kubva muMagwaro akanyorwa. Ndiro Izwi raMwari. Shoko rake. Zvakataurwa naMwari.

II TIMOTIO 4:2 Paridza shoko:

Asi Pauro akatiyambira kuti kana tikapokana naye, takatukwa. Saka, tinofanira kutevera Magwaro. Kana kuti!

VAGARATIA 1:8 Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe Evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.

Hakuna mutumwa anogona kushandura chero chinhu. Izvi zvinosanganisira mutumwa wechinomwe.

Maonero emeso akapinza anodaidzwa kuti 2020 nenyanzvi munhau dzehutano hwemaziso. Saka gore 2020 rakagonesa vanhu kuona muono mukuru waMwari pamusoro pekereke.

Mugore 2020 makereke ese emharidzo akavharwa nekuda kwehosha yekorona.

Aya aive mafungiro aMwari pamusoro pemakereke. Aive akafanira kuvharwa.

Kukoshesa kwavo kuedza kutsanangura zvakataurwa hazvidzose vanhu kuMagwaro.

Takatarisa tiri pakati nepakati, makereke emharidzo haana zivo pamusoro pezvakanyorwa muBhaibheri.

Kana vakabvunzwa pamusoro pezvavakabata paitaurwa zvakasarudzwa zvakachenjera zvichienzaniswa nezvimwe zvakataurwa zvavanofuratira, kushaiwa chokwadi kwavo kunochepeswa nehumbowo huripo hwezvakarehwa nemunhu mumwechete wavanoterera. Vapikisi vanovhundutswa saka havatomboedze zvachose kubvunza imwe mibvunzo.

Vanhu vanoverenga kurasika kwavo vokuisa mune zvakataurwa.

Hutachiwana hwegore 2020 hwaive kuita kwaMwari achitiudza kuti tishanduke.

Hatigoni kuva zvatinoda kuva kana tikaramba tiri zvatiri.

 

 

Saka, vanhu pavaimanikidzwa kugara kumba pakavharwa zvinhu zvizhinji, vangadai vakawana nguva yekuongorora zvakare zvavanotenda. Mwari ari kuda kuti tishanduke.

MaJuda vaive vakapfigirwa rwendo rwekutanga kana kuti eksodo isati yatanga.

Mwari akatarisira Mwenga kuti aite eksodo kana rwendo achibuda mudzidziso dzakaitwa nevanhu nemifungo yavo. Mwari ari kuda kuti tifambe tichienda kunotevera Magwaro mune zvese zvatinoita nezvatinotevera. Ari kuda kuti tidzoke pane zvakatendwa nekereke yekutanga.

Mubvunzo watinofanira kugara tichizvibvunza ndewekuti, “Kereke yekutanga yakatenda zvatiri kutenda mazviri here?”

64-0726 KUZIVA ZUVA RENYU NEMHARIDZO YARO

Munotenda Shoko remunhu kudarika kutenda kwamunoita Shoko raMwari.

Tine husimbe. Zviri nyore zvakanyanya kutevera mifungo yevanhu pachinzvimbo chekuronda chokwadi kubva kumavhesi eBhaibheri.

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO. 1

Asi vaya vanogona kugamuchira Shoko mukuzara kwaro, kwete ini ndichiriparidza, nekuti iBhaibheri rinenge richitaura izvozvo. Vanogamuchira izvozvo vakasununguka nekuti Shoko rakatongwa kare.

Zano rataurwa harisi rechokwadi nekuti hama Branham ndivo varitaura. Nderechokwadi kana Bhaibheri richitaura kudaro.

62-0908 CHIDANHO CHASVIKA HUSHUMIRI HWANGU PARIZVINO

… Ndinovimba achagadza hushumiri hwangu pane izvi, pakundisiya ndichitora mbatya dzeShoko, ndoshongedza Mwenga wake mumbatya dzeShoko,

Mbatya nemapfekero enyu ndizvo zvinoonekwa nevanhu pamusoro penyu.

Mavhesi eBhaibheri ndiwo anofanira kuonekwa nevanhu pane zvamunotenda.

62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA. 1

“Muchaziva sei zvakanaka kubva kuzvakaipa?”

Zviedzei neShoko. Ndiyo nzira yekuziva nayo kuti ndizvo here kana kuti hazvisi. Ndizvo, chingozviedzai neShoko, muone kuti zvinotii pamusoro peShoko. Chero mweya, muone kuti unotii pamusoro peShoko.

Kana uchiramba Shoko, hausi waMwari. Mazviona? Zvisinei nekuti ndewei, kana ukaramba Shoko hausi waMwari. Tarirai, uedzei neShoko, muone zvinoitika.

… “Mweya miviri inokwanisa kuva pedo napedo kwazvo, zvekuti inogona kunyengera vasanangurwa ...”

Hama Branham vaida kuti titende kuBhaibheri torega kuramba chero chinhu chakanyorwa muBhaibheri. Saka, tinofanira kuda kutenda zviri muMagwaro chete.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Kutenda kwekutanga muBhaibheri kukwanisa kudzoserwa kwariri nemutumwa wechinomwe.

Kereke yekutanga yainzvera Magwaro kuti vaone kuti Pauro aitaura zvipi zvacho.

MABASA 17:10 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJuda.

11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.

Makereke emharidzo vanosarudza kutsvaga nekunzvera zvavakabata paitaura vanhu kuti vatsigire mifungo yavo yakavodzwa.

Hushumiri hwehama Branham hwakabereka ndudzi mbiri dzevatendi:

Mwenga anoda kuti azivise kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri kwaari, zvekuti vanenge vachigona kuzvitsigira neMagwaro.

Vasikana mapenzi vanoda kumusimudzira kusvika pahuMwari kuti vatende mune kuturikira kwavo kwavanoita zvaakataura vofuratira basa rekudzidza nekunzwisisa Bhaibheri.

Vasikana mapenzi vanoti William Branham aive asingatadzi.

Idzi idzidziso dzekereke yeRoman Catholic nekuti vanoti Pope haatadzi. Dzidziso iyi yakaziviswa mugore 1870.

Pope ndiye munhu anoshandiswa nemweya waantikristu.

62-1007 KIYI YEMUSUWO

... Dzimwe hama uko dzakati ndakadzituma ikoko, vari kuparidza kuti varume vasiye vakadzi vavo vatsvage vakadzi vavakagadzirirwa pamweya, uye kuti vanoti ini handitadzi. Kuti hakuna chinhu ... Uye, oh, zvimwe zvezvinhu zvakaipisisa zvamakambonzwa.

Kunzi havatadzi kunoita hama Branham umwe Pope. Zvakaipa sei izvi.

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO. 1

Asi vaya vanokwanisa kugamuchira Shoko nekuzara kwaro, kwete nekuti inini ndiri kuriparidza, asi nekuti iBhaibheri rinotaura kudaro. Vaya vanogamuchira izvozvo pachena, vano-- Shoko rakatotongwa kare.

Tendai zvinotaurwa nehama Branham kana vachikuudzai zvinotaurwa neBhaibheri chete.

Bhaibheri rinofanira kutsigira zvaanotaura zvisati zvanzi ndezvechokwadi.

62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA. 2

Zvino, Zvinhu izvi zvese zvandareva, kana zvisingafambirani neBhaibheri, kana kutaura zvimwechete neShoko raMwari, zvakaipa, zvakaipisa,

Chero zvakataurwa nehama Branham zvinogona kugadziriswa neMagwaro. Kana zvaakataura zvisiri muMagwaro, anenge achitadza.

 

Kutadza hakudi kupupurirwa.

 

Kana mukangotaura kuti chakaipa chakanaka, munenge muri munzira inotsvedza inoda kuti mupatsanure zvakanaka kubva kuzvakaipa.

Munenge makufanira kuramba Shoko kana kurwisa Shoko kuti murwire kutadza kwenyu.

ISAYA 5:20 Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima;

Mifungo yevanhu irima. Musafe makati mifungo yevanhu chiedza. Musafe makarwira chakaipa.

65-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI KUSIRI KUDA KWAMWARI

Saka, ndoti ndi, Muzita raJesu Kristu! Musawedzere chero chinhu chimwechete. Musabvise chero chinhu chimwechete, muchiisa mazano enyu pazviri. Munongotaura zvakarehwa pamakaseti iwayo. Munongoita chaizvo chaizvo zvakarairwa naMwari kuti zviitwe. Musawedzere zvenyuwo pazviri.

Kana mukabata kutaura kwehama Branham, itai chokwadi chekuti munongotaura zvakataurwa pamakaseti ipapo musagadzirise zvaakataura.

“Handitadzi” hakusi kutaura kuri pamakaseti. Musafe makataura kudaro.

Ivo vakatataura zvinopesana neizvozvo, kuti kuvaita vasingatadzi chaive chinhu chakaipa.

“Kutinhira kunomwe kwakareva” kutaura kwakagadziriswa.

Kutaura ikoko hakusi kana pakaseti rimwechete saka hakufaniri kuparidzwa.

“Mharidzo ndiyo Mukuru”.

Kutaura ikoko hakusi kana pakaseti rimwechete saka hakufaniri kuparidzwa.

Uku kutaura kwakagadziriswa kusipo pamakaseti. Hosha yemweya yakagadzirwa nevanhu inopararira nekukasika. Inotyisawo zvakanyanya.

Nhemha dzakafanana nehafu yechitina, chinokandika kure.

 

Jesu oga neBhaibheri reKing James ndiye Mukuru

 

MaPope akagadzira dzidziso dzechiCatholic nekubatanidza tsika dzemapegani nemazita echiKristu.

25 Zvita, zuva rekuberekwa kwamwari wezuva rakava zuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari.

Izvi zvinotiyeuchidza pamusoro pedzidziso dzeCatholic, dzavanodzaidza kuti chiKristu.

Havana anovatongesa pavanogadzira nhau dzavo vachitoenda nehupenyu.

Vanodzigadzira zvisina nyadzi asi zvinonyangadza.

Tinoshamiswa nekukura kwehunhunzvatunzva hwerudzi rwevanhu.

Vanonyura nekuzvitutumadza mudziva rekuzvinyengera nekuzvibhabhadzira.

Ndiko kuwira pasi kunoita kereke nhasi. Ndicho chikonzero nei kuine makereke anodarika 45,000 akasiyana siyana nemasangano awo, anoverenga mavhezheni emaBhaibheri echirungu anodarika zana akasiyana. Idutu remweya rakananga kumateru.

Mharidzo yakakosha, kwete muparidzi kana mhume yauya neshoko.

Asi mharidzo dzinonongedzera kuna Jesu Kristu kuti ndiye Mukuru.

Hama Branham vakati Jesu Kristu ndiye anofanira kuva mukuru wesangano rese.

62-1230 MUKURU

Ndakamira nekereke yakandinamatira nekumira neni munguva dzematambudziko. Ishe, ndinovada. Ndinovanamatira, kuti vatarire kwaMuri Ishe. Dai varega kuisa tariro munyama inovora iyi, ivhu rinopupurutswa sehundi remutumwa wenyu. Dai vatarisa kuna Iye Akakosha, Iye. Tinoziva, Ishe, kuti tiri guruva, zvisinei nekuti tiri vanani, tinoparara.

Asi kwete Mutumwa, asi Shoko raanotumwa naro. Tipeiwo iro Ishe. Ndipo patinonongedza, kuna Jesu Kristu Mwanakomana waMwari. Tipeiwo kuti aonekwe nevose vari pano nhasi, chero kuvana vaduku, kuti agove Mukuru wesangano rese.

Mharidzo iriko kuti izivise Jesu, seMukuru, mumapeji eBhaibheri.

63-0317 MWARI AKAZVIVANZA MUKUSHOREKA OZVIZIVISA ZVAKARE NENZIRA IMWECHETEYO.

Kana muchizvitora pamakaseti kana imwe nzvimbo, munofanira kugara nedzidziso dzemakaseti idzodzo. Musataure zvimwe kunze kwezvataurwa pakaseti. Chingotauraiwo chaizvo zvinotaurwa nemakaseti.

Dzokororai zvakataurwa nehama Branham kana achitaura Magwaro.

Asi musagadzirise zvaanotaura zvakafanana nekutaura kuti “Kutinhira kunomwe kwakareva”.

Hakuna kutaura kwakadaro kwaakabvira aita.

Ngatibatanidzei zvaakataura pamwechete.

Tinofanira chete kutenda zvakataurwa nehama Branham kana zviri muMagwaro.

Tinofanira kurarama nezvaanotaura torega kuwedzera zveduwo kuzaruriro yake.

Mharidzo yake iriko kutinongedzerera kuna Jesu kusvikira taita Jesu mukuru wedu.

 

Hama Branham vaitokanganisawo dzimwe nguva

 

Zvimwe zvaakataura aikanganisa. Hama Branham vaitombosanganisa zvavaitaura.

Mune zvaakataura zvinotevera, akati Adamu aive baba vaKaini nekuti Adamu ndiye akazvifukidza nemashizha emuvonde.

Izvi zvakaipa. Adamu haana kubvira ava baba vaKaini.

62-0211 HUMWECHETE

Asi Kaini, nenzira dzake dzakarasika, dzisina kunyanya kurasika, asi nenzira dzake dzehunyengeri, akanyengera, akaunza michero. Abero akachengeta Shoko raMwari, akaunza gwaiana. Mwari akati, “Ndizvo chaizvo, Abero, wakachengeta Shoko rangu.”

Kaini, munoziva zvaive zvisiri izvozvo ... ndakatorepi mashizha emuwonde sezvakaedza kuitwa nababa vako? Wakatora mhutwa dzemawonde nemazambiringa kana maapura chero zvawakawana. Zvino baba vako vakatora mashizha emuti, vakaedza kururamisira, zvino iwe wakuedza kuuya nezvibereko zvemuti wacho.” Zvaive zvisirizvo! Paidiwa ropa rabva pahupenyu.

GENESISI 3:7 Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti ha­vana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguvo.

Adamu naEva vakauya nezano rakafungwa nepfungwa dzavo. Vakasonanidza mashizha emuwonde pamwechete. Mipengo.

Vasikana mapenzi vari kusonanidza zvakataurwa nevanhu kuti vagadzire dzidziso dzavo. Vakafanana pahupenzi hwacho.

Vasikana mapenzi vari kuedza kurwira chakaipa. Kuita kusina maturo.

Kuedza kutaura kuti kukanganisa chikamu chemharidzo huru kuita kwekuzvinyengera.

Humbwende hwakazara. Izvi zvinogona chete kufadza vakasukurudzwa pfungwa.

Mwenga anoziva Bhaibheri zviri nani zvekuti anogona kunzvera achipepeta zvakakanganiswa.

61-0108 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA. 3

“Makwai angu anonzwa izwi rangu.” Izwi raMwari ndiro Bhaibheri Shoko rake.

62-0407 ZVIRATIDZO ZVEKUUYA KWAKE

Vakadanwa naMwari chete ndivo vachanzwa. “Makwai angu anonzwa izwi rangu.” Ndizvo chaizvo. Vanoziva Izwi raMwari. Rinotaura kupfurikidza shoko rake.

Mwenga anodanwa neShoko raMwari.

Mwenga anosarudzwa chete kana akaramba akatendeka kuShoko raMwari.

Richitaura pamusoro paJesu, Bhaibheri rinoti:

ZVAKAZARURWA 17:14 … naivo vanaro ndivanhu vakadanwa vatsvene vakatendeka.

MATEO 20:16 … Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.

Vakasanangurwa vashoma (vasikana mapenzi) havana kuramba vakatendeka kuShoko.

RUKA 18:8 Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?

Kuchave nekutenda kweBhaibheri kushoma kwazvo pakupedzisira. Vanhu vachatenda mudzidziso dzakaitwa nevanhu.

VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.

Hunyengeri hunobva pakutaura kuti zvakataurwa nehama Branham Izwi raMwari.

0804 APO GONDO RINORINGA DENDERE RARO

Ndinokuudzai kuti zvine mubairo kuterera Shoko raMwari, izwi duku rakadzikama rinotaura zvakadzika zvakapfuma. Rinokwezva vanhu vaMwari.

… Tinoziva kuti Bhaibheri rakanaka; harisi izwi rangu; ndiro izwi raMwari, richitaura

65-0429 KUSARUDZWA KWEMWENGWA

Asi Shoko raMwari rinokwezva mwenga waKristu.

... Apo, Mwenga wechokwadi anokwezva Mwari, nekuchengetedza Shoko rake.

 

Mwenga anoshandisa Kutaura kwehama Branham kuti anzwisise Magwaro.

 

Asi vanotenda chete dzidziso iyi nekuti vanogona kuitevera nekubatanidza mavhesi emuBhaibheri.

Zvakadaro, zvavanotenda muBhaibheri zvinotenderana nezvavakabata paitaurwa paitsanangurwa nhau dzeBhaibheri.

Saka mwenga anoshandisa chiedza cheMagwaro kuratidzira kana kutsigira zvaanonzwisisa.

Nekutsvaga zvakataurwa nehama Branham muMagwaro, vanogona kugadzirisa chero paanenge akanganisa.

Vasikana mapenzi, vasina chiedza cheMagwaro, vanovaka kutenda kwavo nekusarudza zvavakabata paaitaura, vofuratira zvimwe zvaakataura. Uku kuparidza kune huwori. Hamugoni kuvimba nemunhu kuti muwane chokwadi kwaari kana aine huwori.

Vanobva vaumba dzidziso dzavo nekubatanidza zvakataurwa pamwechete zvichirasika kubva paMagwaro, uye hazvigoni kutsigirwa neBhaibheri.

Vanoshora kutevera Magwaro zvakazara kusvikira zvakuita sezvakanaka kuraramira kunze kweMagwaro. Munhu anotevera Magwaro zvakazara ipapo anenge akuita kunge benzi pakati pavo.

Pakushaikwa kwehumbowo hweBhaibheri, makereke eMharidzo anoisa mifungo yawo pamusoro.

Vasikana mapenzi vanovaka zvitendero zvavo kubva pane zvakataurwa zvakasarudzika asi kuita uku kunoguma kwaita kuti vawedzere pane zvakataurwa nehama Branham vovaka kutaura kwechitendero chaasina kubvira ataura nezvacho.

Zvakaita sekuti, “Muprofita wenguva yekupedzisira ndiye Mwanakomana wemunhu”. Izvi inhema hazvina kutaurwa nehama Branham.

Hama Branham vakauya kuzozivisa Mwanakomana wemunhu, kwete kuzoita ivo mwanakomana wemunhu.

Hama Branham vakatumwa nemharidzo kuzokura nzira yeKuuya kweChipiri kwaKristu.

Mharidzo haina kutumirwa kuti hama Branham vatsive Kristu.

Kuisa munhu panzvimbo yaKristu mweya wechiCatholic.

65-0725 VAKAZODZWA MUMAZUVA EKUPEDZISIRA

“Pazuva richaziviswa Mwanakomana wemunhu.” Zvakazarurwa 10:1 kusvika ku 7, verengai kana masvika kumba, “Mharidzo yemutumwa wechinomwe, ichizarura Zvisimbiso.” Chiii? Kwete kuti Mutumwa Mwanakomana waMwari; asi mutumwa ari kuzivisa mwanakomana waMwari. Makukwanisa kuzvipatsanura here manje? Ndipo pazvinoita sezvakaoma kwamuri, mazviona. Kwete Mwanakomana wemunhu Pachake; asi mutumwa wechinomwe, mutumwa wechinomwe, achizivisa Mwanakomana weMunhu kuruzhinji, nekuti nguva yacho yakwana.

 

Ngatitarisei kurwisana kuri pachena kwemazuva enhorondo.

VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Musi wa 2 Kubvumbi, A.D. 30. Jesu akatasva mbongoro achipinda muJerusarema musi weSvondo yemichindwi,

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Kana pavakaramba Kristu vakamuuraya muna A.D. 33

Mazuva aya, mumharidzo imwechete, achirwisana.

Kufungira kwake kuti America ichaparadzwa negore 1977 zvaive zvisirizvo.

60-1113 KUPOMERWA NEKUMIRIRIRWA

Zvino ndinoona United States iri rasha, nzvimbo yakatsva. Zvichava pedyo nemagumo. (zvino ndine mafungiro kana maonero anguwo; “Ndinofungira kuti izvi zvichaitika.” Zvino rangarirai, Ishe ane ... Ndizvo zvaratidzwa naShe, asi “Ndinofungidzira kuti izvi zvichaitika gore 1977 risati rasvika.”) Pafungidziro idzi, ndinovimba, nekuda kwezviitiko zviri kuitika zvizhinji zviri kuramba zvichiuya, nekukasika kwazviri kuita pakufamba kwazvo, nenguva yazvingatore kusvika nyika yawana nzvimbo yayo.

Mwari haaite sarudzo dzakaipa.

Saka, Mwenga wechokwadi haadaidzi mharidzo dzehama Branham kuti “Izwi raMwari.”

Mwenga anotarisa Magwaro otaura kuti “izwi remutumwa wechinomwe”.

ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.

Kumwe kukanganisa pazvinhu zviri munhorondo.

54-0515 MIBVUNZO NEMHINDURO

Tito akakomba masvingo eJerusarema muna A.D. 96 akapisa guta.

Inhema. Izvi zvakaitika muna AD 70.

Vafundisi kana mapasita emharidzo vanoti muprofita haagadziriswi. Nhau dzenhema.

54-0516 MIBVUNZO NEMHINDURO MURAIRO UNE MUMVURI

Zvino, kana muchitenda kuti ndiri Mutumwa wake, kana muchifunga kuti Mwari aneni achindibatsira, uye kana Shoko rangu risiri kubva muBhaibheri ndigadzirisei, asi kana zviri kubva muBhaibheri, tendai kuti ndiri mutumwa wake:

Mumharidzo yeZvisimbiso zvinomwe, hama Branham vakataura kanomwe kuti maJuda 700 havana kupfugamira Baari mumazuva aErija. Asi pavakabvunzwa pamusoro peizvi, vakabvuma kuti vaive vakanganisa nekuti Bhaibheri rinoti 7000.

63-0324 MIBVUNZO NEMHINDURO PAMUSORO PEZVISIMBISO

MUBVUNZO 20.

Hama Branham, muri kureva here kuti maJuda zviuru zvinomwe zvisina kupfugamira Baari, kana kuti mazana manomwe?

MHINDURO:
Ndaida kuti, zviuru zvinomwe. Ndiregererei naizvozvo.

... Ndakazoti mazana manomwe. Ndaive ndisingadi kutaura kuti mazana manomwe chete, ndaida kuti, mu ... Handina kuzviverenga kubva muMagwaro. Zvakangouya mupfungwa dzangu pandaitaura, ndikangoti mazana manomwe pachinzvimbo chezviuru zvinomwe.

Ndinokanganisa nguva dzese. Ndiri rema, ndiregererei. Mazviona? Ndaive ndisingadi kudaro.

Akabvuma kuti anokanganisa. Haana kutarira zviverengo izvi muMagwaro.

Saka, zvisinei nekuvapo kwekukanganisa uku nekumwe kuri pamakaseti, vafundisi vemharidzo vanoramba nehupenzi vachitaura kuti haatadzi uye kuti ndiye Shoko raMwari. Saka, havagoni kubvisa zvaakakanganisa.

Vanoti mharidzo yake ndiyo Mukuru. Zvisinei nekuti anoti Enoki akafamba naMwari kwemakore 500. Mhinduro yehokwadi ndeyekuti kwemakore 365.

60-0313 IMI MUNZWEI

Enoki akafamba naMwari kwemakore mazana mashanu.

Hachisi chokwadi.

GENESISI 5:23 Mazuva ose aEnoki aka­nga ari makore ana mazana matatu nama­kumi matanhatu namashanu.

58-0928 MBEU YEMHUKA YAKAZOSHANDURWA KUITWA NYOKA

... (makore mazana matatu nemakumi maviri nemashanu) vakasvika paNecaea, muFrance, kwavakaita musangano mukuru weKanzuru yeNicene. Ikoko ndiko kwavakaita dzidziso idzo dziri mukereke yeCatholic nhasi, dzakazopararirawo kuenda kumasangano akabuda mairi.

Ndinotaura izvi zviri mudzidziso mangwanani ano, imwe neimwe yenguva dzekakereke kusvika panguva yekereke yeTesaronika, makore mazana gumi nemashanu enguva dzerima, kwaive kusina nguva imwe asi zvaakataura, “Mune Zita Rangu”. Kune rumwe ritivi, vaive vasisiri muna Kristu zvachose vakauya mumazita emasangano: Catholic, vekwaLuther, vekwaWesley, veBaptist, vePresbeterio, vePentekositi zvichenda zvakadaro. Asi nguva iyi yakuda kunopera akati, “Ndaisa pamberi penyu mukova wakazaruka”. Mazviona? Ndiyo nguva yatinotenda kuti tiri mairi nhasi, nguva yemukova wakazaruka, pakati pekunoenda kwekupedzisira kwekereke yeRaodikia.

Makore mazana matatu nemakumi maviri nemashanu akazara kusvika pakanzuru yeRaodikia.

Tarirai kurwisana kuripo pane zvakataurwa apa. Makore 325 kusvika pakanzuru yeNicaean uyezve makore 325 kusvika pakanzuru yeRaodikia. Kanzuru yeRaodikia yaive muna AD 363 kusvika 364.

Necaea haina chekuita neFrance. I guta riri muAsia Minor padhuze neConstantinople.

 

 

Hakuna kubvira kwaita nguva yekereke yeTesaronika. Aida kuti nguva yekereke yeTiyatira.

Aive asiri makore 1500 eNguva yeRima. Nguva yeRima ndiyo yakapera makore akapoteredza 1500.

Saka, hamungofaniri kutevedzera zvakataurwa nehama Branham semaparoti.

Ongororai zvaakataura, kana zvisiri zvechokwadi mozvigadzirisa.

Kana musingagoni kuziva kukanganisa kana mukakuona, namatai kuti Mwari akuzodzei nezvizoro zvemeso.

ZVAKAZARURWA 3:18 ... and anoint thine eyes with eyesalve, that thou mayest see. Nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.

63-0319 CHISIMBISO CHECHIPIRI

Ndiratidzei chidimbu chechinyorwa chimwechete chinonyora vhesi chorega kuzvirwisa, kana kunyora mavhesi maviri. Asi Bhaibheri harina parinozvirwisa. Ndakanzwa vashoropodzi vakare vachiti, ndakamuti andiratidze kare kuti zviri papi. Hazvisi pano. Asi kungoti njere dzevanhu dzakakanganisika.

Mwari haana kukanganisika. Aiziva zvaaiita.

Saka, kana hama Branham vaimborasika, havangave “Izwi raMwari” pavaiparidza.

Pakuratidzwa kwemifungo yevanhu apo izwi rake paraitaura zvaaiona muchiratidzo, anenge ari izwi raMwari nekuti anenge asingazivi kuti ari kutaura kuti kudii. Zviratidzo zvaaitaura aive achitaura chokwadi zvese.

63-0319 CHISIMBISO CHECHIPIRI

Mazviona, isu sevanhu venyama, tinokanganisa. Mwari haakanganisi. Sarudzo yaMwari yakanaka. Nenzira yaanosarudza kuita zvinhu, hakungave neimwe nzira iri nani. Haagoni kuishandura nekuti ndiyo yakarurama. Kana isina, anenge asiriye Wemasimbaose.

Mwari haakanganisi. Hama Branham aikanganisa.

Saka, haagoni kuva Mwari. Haagoni kuva Mukuru. Aidzidza nekufamba kwaaiita. Maprofita aikanganisa muBhaibheri nekuti vaive vanhu, asi hazvina kuvamisa kuva maprofita.

 

 

Hama Branham vakatiudza zvinoitwa nekutinhira kunomwe, kwete zvakunotaura

 

Kuipisa zvinhu zvakanyanya, vasikana mapenzi vafundisi vemakereke emharidzo vaigadzirisa nekushonyorora zvaakataura voburitsa zvinhu zvisina kubvira zvataurwa nehama Branham.

Kutaura kumwechete kwakagadziriswa kwaparadzira hosha pamweya ndekwekuti, “Kutinhira kunomwe kwakareva”.

Hama Branham havana kubvira vataura izvozvo.

Kana muchifunga kuti munoziva zvakarehwa neKutinhira kunomwe, munenge muchivaka zambuko risina kwarinoenda.

Ngatitarisei zvaakataura pamusoro peKutinhira kunomwe.

NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA

Zvino mutumwa uyu wekuna Maraki 4 nekuna Zvakazarurwa 10:7 achaita zvinhu zviviri. Chekutanga: Zvichibva kuna Maraki 4 achadzorera moyo yevana kumadzibaba.

Chechipiri: achazivisa zvakavanzika zveKutinhira kunomwe kuna Zvakazarurwa 10 ndidzo zaruriro dziri muZvisimbiso zvinomwe.

Saka, kana muchida zaruriro yeKutinhira kunomwe, munoiwana yakaziviswa muZvisimbiso zvinomwe.

Tisati tatsvaga zaruriro dzeKutinhira kunomwe mumharidzo yeZvisimbiso zvinomwe, Ngatitarisei matambudziko mashanu anofambidzana neKutinhira kunomwe.

Kwakareva riini?

Kwakati kudii? Kwakatakura zvipi?

Basa rako kana chinangwa chako ndechei? Kunofanira kuita sei?

Kunoreva kunani?

Zviitiko zvakaita sei zvatinenge tichitarisira?

64-0830 MIBVUNZO NEMHINDURO. 4

MUBVUNZO: Kutinhira kunomwe kunoenderana nezvakavanzika zvinomwe kwakaziviswa here? Kwakaziviswa muZvisimbiso zvinomwe, asi hakusati kwazivikanwa nesu seKutinhira here?

MHINDURO: Kwete, kwakaziviswa muZvisimbiso zvinomwe; ndizvo zvaive zvakanangwa nekutinhira. Kwaifanira kuzivisa ... Kutinhira kunomwe kwakareva mazwi ako asi hakuna akagona kuziva kuti kwaiti kudii ... Johane akaziva zvakwakareva, asi akarambidzwa kuzvinyora. Akati, “Asi Mutumwa wechinomwe, mumazuva enzwi rake, zvakavanzika zvaMwari zvinomwe zveKutinhira kunomwe zvichaziviswa.”

Muzvisimbiso zvinomwe hama Branham vakazivisa kuti Kutinhira kunomwe kuri pamusoro pei.

Mune mamwe mazwi, basa rako nderei, kuti kunofanira kuita sei. Chinangwa chako.

Havana kukwanisa kuzivisa zviri mukati mako, zvakwakataura nekuti hazvina kunyorwa.

Hakuna anogona kuparidza zvisina kunyorwa.

ZVAKAZARURWA 5:1 Zvino ndakavona muruvoko rworudyi rwaiye wakanga agere pachigaro chovushe bhuku yakanyorwa mukati nokunze kwayo, yakanamatidzwa nezvisimbiso zvinomwe.

Mapoka maviri eZvisimbiso. Boka rimwechete riri mukati rimwe boka kunze.

Bhuku rine zvakavanzika zvakanyorwa mariri. Zvakavanzika zvakanyorwa izvi zvakasimbiswa neZvisimbiso Zvinomwe. Zvisimbiso zvitanhatu zveizvi zvakanyorwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6. Zvisimbiso zvitanhatu zvakanyorwa izvi zvakaziviswa nemutumwa wechinomwe.

Bhuku rinewo Zvakavanzika zvakavanzwa zvisina kunyorwa. Zvakavanzika zvisina kunyorwa izvi zvakasimbiswa neKutinhira kunomwe kusinawo kunyorwa.

Kutinhira kunomwe kuri kunze kweBhuku kunokwanisa kusvikwa kana zvakavanzika zvese zviri muBhuku zvapedziswa. (Zvinoita sekuti Kutinhira kunomwe kwakanyorwa kukavha rekuseri kwebhuku). Munosvikako chete, pakupedzisira chaipo. Kwete muchiri kuzivisa Zvakavanzika zvakanyorwa muBhuku.

 

Kutinhira kunomwe kuchareva kana zvakavanzika zvakanyorwa zvapedziswa

 

62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA.

Zviri kumashure, kana Bhuku rapera. Hapana kunzi,”Kumberi kwaro”. Akati, Kunze kweBhuku,” kana zvese zvaitwa, zvapera. Ipapo, izwi reKutinhira kunomwe’ ndicho chega chinhu, chakasimbiswa paBhuku, chisina kuziviswa. Hachina kana kunyorwa muBhuku.

… [Kutinhira kunomwe] uku kuri kunze kweBhuku. “Panguva yekureva kwemutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvese zvakanyorwa muBhuku zvinopedziswa.” pakarepo Bhuku, rakazarurwa rikanyorwa mukati, rinovharwa, “Zvakavanzika zvaMwari zvinopedziswa.”

 

Hama Branham vanokwanisa chete kuzivisa zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri.

 

Haagoni kuzivisa zviri muKutinhira kunomwe nekuti hazvina kubvira zvanyorwa.

Mwedzi mishanu asati afa, aive achiri kuda kudzidzisa pamusoro peHwamanda nomwe, Ndiro nomwe, neKutinhira kunomwe. Asi haana kukwanisa kuzviita.

Zvinhu zvitatu izvi zvese zvakaramba zviri chakavanzika.

65-0801 MWARI VENGUVA INO YAKAIPA

Mukuita izvi, ndakauya pano nechinangwa chekudzidzisa Ndiro dzekupedzisira, Ndiro nomwe dzekupedzisira, neHwamanda nomwe dzekupedzisira, neKutinhira kunomwe kwekupedzisira, zvemuBhuku raZvakazarurwa, tichizvisunganidza pamwechete panguva ino yatiri kurarama; kutevera kuzarurwa kweZvisimbiso zvinomwe, Nguva Nomwe dzeMakereke. Saka, hatina kukwanisa kuwana mukana wekuita izvi.

Pakupera kwemwedzi iwoyo, nemwedzi mina chete yaive yasara, aive achiri kuda kutaura pamusoro peKutinhira kunomwe.

Saka, aive asati azvizivisa zvakazara kwavari, aive atiudza chinangwa chazvo chete.

Asi vaiita sevaizviyananisa nezvinhu zvikuru zvakavanzika.

65-0822 KRISTU ANOZIVISWA MUSHOKO RAKE

Makaseti evhiki rakapera, ndinofunga kuti, achakuzivisai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvatichataura nezvazvo rimwe remazuva patichawana nzvimbo yakafanira, pakuzarurwa kwehosha dzekupedzisira dzichadururwa panyika, Ndiro idzodzo, toti, kudururwa kweNdiro, neKutinhira Kunomwe, nezviratidzo zvakavanzika izvozvo zviri kuuya kuzowira nyika. Munhu, nevanhu nhasi, vari muchidanho chakaoma; pasi rese!

64-0614 KUZIVISWA KWAMWARI

Mumwe munhu aive, vazhinji vaiti kwandiri, nevethiyoroji vaiti, “Hama Branham, Kana Ishe Mwari ...” Vakati, nekuziva kwenyu, kuti Mwari akakupai kuitira vanhu vake,” vakazvirereka vachitaura izvi, vakati, “Munokwanisa kunyora Bhaibheri pachenyu, Shoko renyu, kana Mwari azviratidza kwamuri.”

Ndakati “Izvozvo zvinogona kuva zviri zvechokwadi,” Mazviona, vaiedza kundibata. Mazviona? Ndakati, “Asi, munoona, handigoni kuita izvozvo.”

Hama Branham havagoni kuva Shoko raMwari.

Akati, “munotadza nei? Mune zvikwanisiro zvese.”

Ndakati, “Asi, tarisai, shoko rimwechete harigoni kuwedzerwa kana kubviswa.”Mazviona?

Akati, “Zvakanaka, Kutinhira kunomwe, munoona,” akati, “Hakusi kutinhira kweKutinhira kunomwe uku, hakusi Zvakazarurwa zvinopuhwa umwe munhu?”

Ndakati, “Kwete, baba, zvinowedzera zvimwe zvinhu kwazviri kana chimwe chinhu kubva kwazviri.”

Kutinhira kunomwe kuchange kusiri zaruriro yakangwara inowanikwa nemunhu.

… Zvinoziviswa zvese imomo, Zvisimbiso zvinomwe zvinozarura zaruriro yekuti zvaive chii. Ndizvo zvazvaive. Mazviona, zviri muShoko. Mazviona, hamugoni kubuda muShoko. Hazvigoni kusiya Shoko.

Zvatinogona kuziva chete pamusoro peKutinhira kunomwe zvakaziviswa muZvisimbiso zvinomwe.

Ngatitsvagei mumharidzo yeZvisimbiso zvinomwe.

Kutinhira kunomwe kuchave mutsetse wezviitiko zvikuru, zvisina kutarisirwa.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Asi kana Kutinhira kunomwe uku kwareva kuna Zvakazarurwa 10, anoti, “usazvinyore zvese,” Ndizvo zvakavanzika.

… Usazvinyore zvachose, Johane ‘Nekuti vachagumburwa nazvo vakawira pasi. Zvisiye. (Mazviona?) asi ndichazvizivisa mumazuva azvichange zvafanira.”

Kutinhira kunomwe kuchave kusina kutarisirwa zvachose kusina kujairika zvachose zvekuti zvichauya nako zvichatiwisira pasi.

63-0728 KRISTU NDIYE CHAKAVANZIKA CHAMWARI CHAKAZIVISWA

Akataura nezvako akaratidza Kutinhira Kunomwe. Akatarisa Hupenyu ...

Magazini reLife rakazara mufananidzo wedenderedzwa reGore neChiedza zvavaive vasingazonzwisisi, havatozvizivi nazvino. Asi pano vanoudzwa, “Endai munomirira kuti Zvakavanzika zviziviswe,” Mwedzi yakati kuti zvisati zvaitika, zvichibva zvaitika nenzira yaakataura kuti zvichaitika. Makaona here mumufananidzo iwoyo? Chero mutumwa iyeye ari kurudyi, paakaonekwa, achiburuka pasi, nemapapiro ake akaenda kumashure musoro wake uchienda kumativi, zviripo pamufananidzo, saizvozvo.

Hama Branham vakayananisa Kutinhira kunomwe nevatumwa vanomwe vakaita Gore muna 1963 kumusoro kweArizona muguta reFlagstaff. Vatumwa ivavo vakagara muchadenga chinhambwe chemakiromita 42 kwemaminetsi 28 vachionekwa zuva richangodoka.

Asi vakatsanangura gore iri serakaitwa nevatumwa vaiburuka panyika.

Akafungawo kuti gore rakagara pachinhambwe charaive, rakarembera kudenga. Izvi zvaive zvechokwadi.

65-0219 ZUVA RANHASI GWARO IRI RAZADZISWA

Iro riri apo, rakarembera kudenga; kure kwazvo, kusina hunyoro, kusina mvura kana chero chinhu chekuita guti ikoko. Rakavapo sei gore iri? Vaive vatumwa vaMwari vaidzokera, vabva kusiya mharidzo yavaive vauya nayo.

Apa akutaura kuti gore rakaitwa nevatumwa vakadzokera kudenga vapedza kutaura naye. Hazvisirizvo. Vatumwa vakataura naye musi wa8 Kurume Gore raive ratorwa mifananidzo musi wa 28 Kukadzi. Zviitiko zviviri zvakapatsanurwa nemazuva masere.

Asi vakakanganisawo vakafunga kuti Gore raive vatumwa vachiuya kwavari mazuva masere akazotevera musi wa 8 Kurume 1963, nenguva dza 8 mangwanani, paaive achivhima pedyo nemakomo eSunset Peak. Vakafunga kuti vakamira pasi pegore iroro.

63-0802 KUTSUNGIRIRA

Munoziva, kwete nguva iyoyo, ndaisaziva; asi makamera munyika mese aitora mufananidzo wazvo, apo Gore jena rakagara, ndiko kutaura kwepepanhau reAssociated Press. Ndofunga kuti pepanhau reChicago rakanyorawo, ese akanyora, magazini reLife rakanyora zvakare. Vangani vakazviona imomo, kuti Va ... izvozvo, mazviona, zvaivepo, nenzira yazvakataurwa nayo, ndakamira pasi pegore paraiburuka kuzoumbika.

 

 

Izvi handizvo. Vatumwa vakaburuka kwaari nenguva dza 8 mangwanani musi wa 8 Kurume 1963, pamakomo eSunset Peak. Gore rakatorwa mifananidzo mazuva masere mumashure zuva richangodoka, kumusoro kweguta reFlagstaff, mamaira 200 kubva kwavaive.

Zvakare, akashandura pfungwa dzake akafunga kuti gore raikwira kudenga.

65-1127 KUEDZA KUBATIRA MWARI HUSIRI HURONGWA HWAKE

Ndiko chaiko kuita kwemapapiro emutumwa paanokwira kudenga. Mazviona, sezvazviri ... vakatanga kutora Mifananidzo nekuti chaive chinhu chinoshamisa. Asi mufananidzo wekupedzisira, parakaitika kudenga nezvimwe, ndiro iri richionekwa sezvariri. Munoona kuti rakasimuka sei pavakatanga kuriona, mazviona. Asi kwakabva kwauya mufananidzo chaiwo wekupedzisira, parakaitika.

65-0718 KUDYA KWEMWEYA NGUVA YAKAFANIRA

Zvino parakakwira kudenga, vaokeri vazhinji vakabva kuCalifonia, vakauya kuMexico, nekuTucson, kwese kwese, vachitora mifananidzo yaro. Chaive chiratidzo chinoshamisa. Hama Fred Sothmann avo, vakagara pakadaro apo neni nehama Gene Norman, vaivepo parakakwira kudenga. Vakatora mifananidzo, asi havazivi nezvazvo.

Gore rakatorwa mifananidzo musi wa 28 Kukadzi 1963, zuva rimwechete nguva yekuvhima isati yavhurwa. Makore anenge ari chinhambwe chemakiromita makumi maviri haaonekwe kana denga riri nechiedza chezuva masikati. Gore raive makiromita 42 mudenga, saka raisaonekwa muchiedza chemasikati.

Gore harina kubvira raburuka kana kukwira kudenga. Rakagara pachinhambwe ichocho kwemaminetsi 28 richionekwa.

Saka hama Branham vakakanganisa pamusoro pezvinhu izvi.

Asi kushaiwa humbowo kwakakura kwekuti aive asingazivi uye haana kubvira akwanisa kutarisa zvinhu zvakakosha zvekuti paive nemakore maviri, aive akapatsanurwa nemakiromita makumi maviri.

Izvi zvaionekwa paWinslow chete yaive munzira yegore richibva kumadokero richienda kumabvazuva.

 

 

Hama Branham havana kubvira vaona Gore saka kutaura kwavo kwekuti rakakwira kudenga kana kuburuka kubva pachinhambo charaiva kwaive kungofungidzira kwaive kusiri kwechokwadi. Kutaura uku kwaive kusiriko.

Kufunga kuti vakamira pasi pegore kwaive kukanganisa kukuru. Gore raive pedyo neFlagstaff. Hama Branham vaive kuTucson, mamaira 200 kumusoro kwekwazvakaitikira musi wa 28 Kukadzi 1963.

Vatumwa vaive vakatakura zvakavanzika zveKutinhira kunomwe vakaita gore, asi zvavakataura kwaari zvaive zvekuti aifanira kudzokera kuJeffersonville kunoparidza Zvisimbiso Zvinomwe.

Imomo maizova negwara rekuti Kutinhira kunomwe kuchaitei.

63-0728 KRISTU NDIYE CHAKAVANZIKA CHAMWARI CHAKAZIVISWA

Chakavanzika chaMwari chekuti sei, ndicho chakavanzika. Akazviita chakavanzika. Hakuna akaziva chinhu nezvacho. Chero vatumwa havana kuzvinzwisisa. Mazviona, haana kuzvizivisa. Ndicho chikonzero nei, pasi pechakavanzika chedu chechinomwe, pakazaruka Chisimbiso chechinomwe, paive nerunyararo. Jesu, Paaive panyika, vaida kuziva kuti achadzoka riini. Akati, “Handi... Kunyange Mwanakomana pachake haazivi kuti zvichava riini.” Tarirai Mwari aive akachengeta izvi pachake. Ndicho chakavanzika. Ndicho chikonzero nei kwaive nerunyararo Kudenga kwenguva inenge hafu yeawa, Kutinhira kunomwe kuchibva kwareva Manzwi ako, Johane akarambidzwa kunyora nezvazvo, mazviona, Kuuya kwaShe. Ndicho chinhu chimwechete chaasati azivisa, chekuti achauya riini zvakare achauya sei. Chinhu chakanaka kuti haana. Kwete.

Kutinhira kunomwe ndiko chakavanzika chikuru sezvo kuchiyanana nechakavanzika chikuru, Kuuya kwaShe.

Chakavanzika chekuuya kwaShe hachigoni kuziviswa. Saka Kutinhira kunomwe kunozivisa chakavanzika chikuru ichi, kunofanirawo kuramba kuri chakavanzika.

63-0623 KUMIRA PAMUPATA

Pamazuva enzwi remutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvese zvichaziviswa. Kwotevera Kutinhira kunomwe kwakavanzika.

Kutinhira kunomwe kunogona chete kureva mumashure mekunge hama Branham vapedzisa kuzivisa zvakavanzika zveShoko rakanyorwa.

Asi hama Branham vakaparidza mharidzo yavo yekupedzisira muna Zvita 1965, vakafa mwedzi mumwechete iwoyo.

Saka, Kutinhira kunomwe kunoramba kuri chakavanzika.

Ngationei zvaakataura pamusoro peKutinhira kunomwe muZvisimbiso zvinomwe.

Ipapo tinozoziva mabasa ako. Chinangwa chakunofanira kuuyira kuzoita.

63 – 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE

Asi munoona, ndicho chakavanzika chakavanzwa. Hakuna anochiziva. Asi chinofambirana nezvaakataura: hakuna angazive kuuya kwake; havangaziviwo pamusoro pechakavanzika chekutinhira kunomwe. Saka, munoona, zvakayananiswa.

Izvozvo tinozvinzwisisa nhasi, nekuti zvimwe zvacho zvese zviri kubuda pachena, asi ichi chinhu chisiri kubuda pachena. Asi ndigere mukamuri mangu, ndakazvinzwa, regai nditi, ndakaona zvichiziviswa kusvika paKutinhira kunomwe. Zvino, ndipo patinokwanisa kugumira. Asi munoona, chinhu chakavanzika chakavanzwa. Hakuna anochiziva. Asi chinofambirana nezvaakataura: hakuna aizoziva kuuya Kwake; havaizozivawo pamusoro pechakavanzika cheKutinhira ichi. Saka munoona, zvakayananiswa.

Izvozvo tinozvinzwisisa nhasi, nekuti zvimwe zvacho zvese zviri kubuda pachena, asi ichi chinhu chisiri kubuda pachena. Asi ndigere mukamuri mangu, ndakazvinzwa, regai nditi, ndakaona zvichiziviswa kusvika paKutinhira kunomwe. Zvino, ndipo patinokwanisa kugumira.

Akajekesa kuti Kutinhira kwakavanzika hakuna munhu anogona kukunzwisisa. Nei?

Kutinhira kunomwe kunozivisa chakavanzika cheKuuya kwaShe.

63 – 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE

… Chisimbiso chechinomwe chakasiiwa; nekuti (Munoona?), Kristu akati Mwari ega pachake ndiye aiziva , kwete chero Vatumwa. Hazvishamisi, hazvina kana kunyorwa. Munoona, vakanyararidzwa; hakuna chakaitikako. Vatumwa havachizivi: hakuna anoziva kuti anouya riini. Asi kuchaita mazwi manomwe eKutinhira uku achazivisa zaruriro huru panguva iyoyo.

Kutinhira kune mazwi manomwe kuchazivisa kuti Ishe ari Kuuya riini. Ndicho chinangwa chawo.

Saka, Kutinhira kuchareva chete pakupedzisira chaipo.

… Chakavanzika cheKutinhira kunomwe. Kutinhira kunomwe kudenga kuchazivisa chakavanzika ichi. Zvichava paKuuya kwaKristu, nekuti Kristu akati hakuna aiziva kuti achadzoka riini.

…Chakavanzika chimwechete cheChisimbiso ichocho, chikonzero nei chisina kuziviswa, chaive Kutinhira kunomwe kunoreva mazwi ako, ndizvozvo zvakakwana, nekuti hakuna chinoziva chero chinhu nezvacho; hachina kubvira chanyorwa

Kutinhira kusina kunyorwa kwakatakura chakavanzika cheChisimbiso chechinomwe chisina kunyorwa.

Zvisina kunyorwa hazvigoni kuzivikanwa nesu. Hakuna anogona kukuudzai zvakataurwa neKutinhira kunomwe.

Kana muchifunga kuti munoziva zvakwakataura, munenge manyengerwa.

Chakavanzika ichi chakanyanya kudzama.

Hama Branham vakatsvaga kuturikirwa kwezviitiko zvisina kujairika.

63 – 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE

Zvino, chii chakavanzika chiri pasi peChisimbiso ichi, handizivi. Handichizivi. Handina kugona kuzvitsanangura. Handina kugona kukuudzai nezvacho, kuti chii, uye, kana zvakwakataura. Asi ndinoziva kuti kwaive iko kutinhira kunomwe kuchireva mazwi ako pedyo nepedyo, kuchidzvova nguva nomwe dzakasiyana, kukabuda kuva chimwe chinhu chandakaona.

Zvino pandakaona izvozvo, ndakatsvaga kuturikirwa kwakabhururuka nekoko, ndikatadza kuzvibatanidza.

… Kune chinhu chimwechete chandisingagoni kuturikira, nekuti chiri mumutauro wandisingazivi.

Kuturikirwa kwechiratidzo kwaive mumutauro waisazivikanwa. Waisagona kunzwisiswa.

Hakuna pakati pedu ane fungidziro dzekuti chaimbova chii.

Tinofanira kungwarira fungidzoro dzevanhu mukuedza kwavo kuva vakangwarira pamusoro peKutinhira kunomwe.

Nhau dzenhema nemakuhwa dzinopararira zviri nyore kwazvo.

Nhema dzakafanana nehafu yechitinha. Inokandika kure zviri nyore.

Chinangwa kana basa reKutinhira rinokwanisa kuziviswa.

Zviri makuri kana zvakwakareva hazvina kuziviswa.

Hatizivi zvakwakataura. Hatitozivi kuti zviitiko zvakadii zvichange zviri pakutinhira.

 

Kutinhira kunomwe kunorevawo kumaprofita maviri echiJuda

 

Kutinhira kunomwe kunoreva zvese kumwenga nekumaprofita echiJuda, Mosesi naErija.

Saka basa reKutinhira nderekupa simba guru remweya.

63 – 03 21 CHISIMBISO CHECHINA

Mirirai kusvikira Kutinhira kunomwe kwareva manzwi ako kuboka rinogona kutora Shoko raMwari roriisa apo. Rinocheka nekudambura. Vanogona kuzarira denga; vanogona kupfiga izvi nekuita izvo, zvese zvavanenge vada havo.

Achauraiwa nemunondo unobva mumuromo make; wakapinza kudarika munondo unocheka nekwese. Vanogona kudaidza matani mazana emabhiriyoni enhunzi kana vachida. Ameni. Zvese zvavanotaura zvinoitika, nekuti Ishoko raMwari rinobva mumuromo waMwari.

Kutinhira kunomwe kucharevawo kumaprofita maviri echiJuda kuti kuvape simba rekuita zvavanoda nemamiriro ezvinhu.

Erija achaunza nzara kwemakore matatu nehafu.

Saka, Kutinhira kunomwe kuchareva nguva yakapoteredza kutorwa kwekereke kukwira kudenga neEvangeri rakuenda kumaJuda.

63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

Bhuku rakasimbiswa neZvisimbiso zvinomwe rinoziviswa panguva yeKutinhira kunomwe kwekuna Zvakazarurwa 10. Kana muri kunyora pasi ... ngatiendei kuna Zvakazarurwa 10 kwechinguvana, kuti munzisise tisati tapinda mazviri. Zvino, izvi zviri panguva yekupedzisira, saka tererai.

... ndakaona Mumwe Mutumwa mukuru achibva kudenga, akashonga gore: nemurarabungu ... pamusoro wake, ...

Kana muchiona, Ndiye Kristu (Mazviona?),’ nekuti muTestamente Yekare ndiye aidaidzwa kuti Mutumwa weSungano, uye ari kuuya akanangana nemaJuda paachadzoka, nekuti kereke inenge yapera yakwira kudenga. Mazviona? Zvakanaka.

... nechiso chake ... chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto: ...

Muchiri kurangarira Mutumwa uya kuna Zvakazarurwa 1? Mutumwa inhume, uye Mutumwa kuIsraeri. Mazviona? Kereke yaive yakwira kudenga. Mazviona? Zvino, kana kuti ichigadzirira kukwira kudenga. Anovinga kereke yake.

Tarirai hushumiri hwakapetwa ruviri hweMutumwa paanoburuka.

Kereke iri kugadzirira kukwira kudenga uye anenge akuuyawo kumaprofita echiJuda. Vanofamba kupinda muhushumiri hwavo hwemweya nekuti kereke inenge yatorwa kukwira kudenga.

Kutinhira kunomwe kunoitika munguva yesimba gurusa remweya.

Kereke yechokwadi kana kuti Mwenga anoratidzwa kuti anogamuchira sei muviri mutsva usingavori maprofita maviri kumaJuda anogamuchira simba guru rekushandura zvinhu, ravanotanga kushandisa Mwenga achingopedza kukwira kudenga.

63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE

… Zvino kana Zvisimbiso zvinomwe izvi zvikapedziswa, tinoona kuna Zvakazarurwa 10 kuti kwaive nekutinhira kwakavanzika kunomwe kwakatumwa Johane kuti anyore asi akarambidzwa kunyora izvozvo. Panguva yeKutinhira uku, tinoona Kristu, kana Mutumwa achiburuka nemurarabungu, achiisa tsoka yake panyika imwe mugungwa achipika kuti nguva haizovipo zve.

Batai nguva iyi zvakanaka.

Zvisimbiso zvinomwe zvinofanira kutanga kuziviswa zvakazara. Mumashure maizvozvo, Mutumwa anoburuka panyika.

Ipapo chete ndipo panoreva Kutinhira kunomwe.

Asi Chisimbiso chechinomwe hachina kubvira chaziviswa.

64-0719 MUTAMBO WEHWAMANDA

Chisimbiso chechinomwe hachisati chavhurika, munozviziva. Ndiko kuuya kwake.

Saka hama Branham havana kuzarura Chisimbiso chechinomwe. Chinoramba chiri chakavanzika chakazara.

 

Kutinhira kunomwe kuchareva kumwenga seshoku inovhundutsa

 

63 – 03 20 CHISIMBISO CHECHITATU

Mwenga haasati amutswa. Mazviona? Hapana kuitika mutsiridzo apo, hapana kuratidzirwa kwaMwari kuti asanganise Mwenga. Mazviona? Takakutarisira. Zvichatora kutinhira kunomwe kusingazivikanwe kuti kumumutse zvakare. Achakutumira. Akavimbisa. Zvino, zvino, tarirai. Zvino, aive akafa.

Mwari anoona Mwenga seakafa.

Makereke emharidzo anozvitarisira pamusoro soro. Asi Mwari haagovani navo mufungo wavo iwoyo.

Chimwe chikonzero chehutachiwana hwekorona mugore 2020 chaive chekuvhara makereke ese emharidzo.

Vafundisi kana mapasita emharidzo vaizogara kumba vanachiremba, vakoti, mauto, nevezvematongerwo enyika vachirwisa chirwere chakaipisisa ichi.

Kutinhira kunomwe kuchava kumutswa kuchapa Mwenga wechokwadi rumutsiridzo rwemweya rwakazara.

63-0320 CHISIMBISO CHECHITATU

... mutumwa wechinomwe, mazuva enzwi rake, zvakavanzika zvaMwari zvese zvichazadziswa nekutaura kwake. Zvino kana zvaziviswa, Mutumwa anoburuka kubva kudenga, anova Kristu ...

... oenda mberi kunoti, mazuva Kutinhira uku kusati kwauya, zvakavanzika zvaMwari zvinoziviswa.

Zvakavanzika zvese zvinofanira kuziviswa Kutinhira kunomwe kusati kwareva.

Hama Branham vakapedzisa kuzivisa zvakavanzika muna Zvita 1965.

Kutinhira kunomwe hakwaireva izvi zvisati zvaitika.

 

Hatigoni kuwana kutenda kwekukwira kudenga mumiviri yedu yatinayo nhasi

 

Tinogona chete kutorwa kukwira kudenga mukubwaira kweziso mumiviri yedu mitsva.

Saka, kuti tigone kukwira kudenga tinoda Kutinhira kunomwe kuti kutiratidze kuti toshanduka sei miviri yedu yatinayo kuti tiwane miviri isingavori isina ropa. Mweya Mutsvene uchafamba mutsinga dzedu tichava vaduku nekusingaperi.

Vamwe vanhu vemharidzo vaiti vane kutenda kwekukwira kudenga makore 40 akadarika asi zvinosuwisa kuti vakafa. Izvi zvinoratidza kuti dzidziso ine zvayakakanganiswa.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Kutinhira kunomwe kwezaruriro ... Dai Aratidza Mwenga wake kuti ogadzirira sei kugamuchira kutenda kukuru kwekushandurwa.

Kutinhira kunoratidza Mwenga kuti ogadzirira sei kukwira kudenga kunosangana naShe mumakore.

… Asi Kutinhira kunomwe uku kuri kuna Zvakazarurwa 10 kukapedza kureva, “usakunyora zvachose.” kwakavanzika. Hatisati takuziva kuti kunorevei; asi kufunga kwangu ndekwekuti kuchaziviswa pakarepo. Uye kana zvadaro, kuchapa nyasha dzekutenda kwekukwira kudenga kuti kereke ibve panyika. Tinobva kune zvese zvatinoziva nezvazvo; munguva dzese takazvitarisa. Takaona zvakavanzika zvaMwari. Takaona kuungana pamwechete kukuru kweMwenga pazuva rekupedzisira, asi kunenge kuchiri nechimwe chinhu chatisingagoni kuzvijekesera.

Kuchiri nezvakavanzika zvinoda kuziviswa.

Kutenda kwekukwira kudenga kunouya chete kana tava mumuviri mutsva. Muviri uno haugoni kukwira kudenga.

Saka, kana Kutinhira kuchitipa Kutenda kwekukwira kudenga, saka kunofanira kuzivisa kuti toshanduka sei kubva mumuviri uno wenyama kupinda mumuviri wakafuka kusavora.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

… Zvino pane kuuya kwekutinhira kunomwe kwakavanzika kusina kana kunyorwa zvachose. Ndizvo chaizvo. Ndinotenda kuti kupfurikidza Kutinhira kunomwe uku kuchaziviswa mumazuva ekupedzisira kuti Mwenga aunganidzwe agamuchidzwe kutenda kwekukwira kudenga;

Nekuti chatiri nacho nhasi, tinozogona kuchiita.

Tine pamwe patinofanira kukura kwazvo; hatigoni kuwana kutenda kwakakwana kwekuponeswa pahurwere. Tinofanira kuwana kutenda kwakakwana kwekushandurwa muchinguvana totsvairwa kubva panyika kukwira kudenga.

Kutenda kwatinako nhasi hakuna kukwanira.

Vafundisi veMharidzo vakatanga kare kuparidza Kutenda kweKukwira kudenga kubva paKutinhira Kunomwe kwemakore anoda kukwana makumi mashanu, asi hakuna ati atorwa kukwira kudenga.

Saka nguva yavo yavakatanga yaive isiriyo.

Tinofanira kuenda mberi zvishoma. Tinofanira kupinda mumuviri mutsva kuitira kugamuchira kutenda kwekukwira kudenga.

Tinoda chimwe chinhu chinobva kuMweya Mutsvene kuti chishandure miviri yedu.

Hatidi mharidzo yakachenjera inotisiya mumiviri ino yenyama kana kereke yapera.

62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA

Kana nguva yauya yekuti zaruriro yeKutinhira kunomwe iziviswe kukereke, kuti yoenda sei, handizivi.

… Zvakavanzika zvese zvakapedziswa here? Kwakareva zvese here? Ndiko kutinhira kunomwe here, kuri kugadzirira kureva chimwe chinhu, zvekuti boka duku rakaungana rinogamuchira Kutenda kweKukwira kudenga, kuti tikwire kudenga paAnouya?

Tinoda muono uri nani mumagwaro.

Bhaibheri chete ndiro rinogona kutidzidzisa kuti togadzirira sei Kuuya kwaShe.

Mutumwa haauyi kuzozarura Bhuku. Anouya NOKUTI Bhuku rinenge razarurwa.

62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA.

Asi, uyu haana kubva panyika. Akaburuka kubva kudenga, nekuti zvakavanzika zvese zvinenge zvapedziswa. Uye kana zvakavanzika zvapedziswa, Mutumwa anoti, “Nguva haizovipo zve,”Kutinhira kunomwe kunobva kwareva manzwi ako.

Ko kana chiri chinhu chekutizivisa kuti topinda sei muKutenda kweKukwira kudenga?

Saka, mutumwa anokwanisa chete kuuya kana Hama Branham vapedza mharidzo yavo.

Mutumwa anoburuka nokuti zvakavanzika zvinenge zvaziviswa kuMwenga.

Mutumwa haana kuburuka kuzozivisa zvakavanzika kuhama Branham.

Zvakavanzika zvinozadziswa chete kana nhengo dzese dzemuviri weMwenga dzakugona kutsigira zvadzinotenda neMagwaro.

Johane haana kubvira anyora zvakarehwa neKutinhira.

Saka, munogona kuita zaruriro yebasa kana chinangwa cheKutinhira.

Kuti kunofanira kuita sei, sekupa Mwenga Kutenda kwekukwira kudenga nekupa simba rinoshamisa kumaprofita maviri evaIsraeri.

Asi hatina kana ruzivo kuti Kutinhira kwacho chii, kuti kunotaura kuti kudii.

Saka, hatina ruzivo kuti chiitiko chakaita sei kana kuti zviitiko zvakaita sei zvichave muKutinhira kunomwe.

 

Kutinhira kunomwe kwakareva manzi ako kubva kudenga here kana kuti panyika?

 

Hatizivi.

62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA

Tarirai kuti izwi raivepi, Kutinhira. Kwete Kudenga; panyika! Kutinhira hakuna kubvira kwareva kuchibva kudenga. Kwakareva kuri panyika.

63 – 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE

Kutinhira kunomwe kudenga kuchazivisa chakavanzika ichi.

Kutinhira kuchareva kuri panyika here kana kuti kudenga?

Kutaura kuviri kwaakataura kunotaura zvinhu zviviri zvakasiyana.

Hatizivi zvechokwadi. Tingafungidzira zvisizvo. Kutinhira kunomwe kunoramba kuri chakavanzika.

63 – 03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE

Chimwe chezvakavanzika zveChisimbiso ichocho, chikonzero nei chisina kuziviswa, chaive Kutinhira kunomwe kwakareva mazwi ako, zvakanakisa, nekuti hakuna chinoziva chero chinhu nezvawo; haana kana kunyorwa.

Hakuna anogona kukuudzai kuti Kutinhira kunomwe chii, kana kuti kwakataura kutii kana kurevei.

 

ZVAKAZARURWA 19:12 Aive nezita rakanyorwa, risina kuzivikanwa nomunhu

 

Hakuna munhu anziva zita idzva raJesu.

Zvino tinosvika pakuedzwa kwakasarudzika kuti tione kuti Kutinhira kwakareva here kana kwete.

Kutinhira kunomwe kuchazivisa zita raJesu rinotevera.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Jesu, Zita rake panyika raive Mudzikinuri, Jesu. Paaive panyika aive mudzikinuri; ndicho chokwadi. Asi paakakunda rufu negehena, akazvikurira, akakwira kudenga, akanogamuchira Zita idzva. Ndicho chikonzero nei vachitaura nenzira dzavanotaura nadzo asi vasina chavanowana; zvichaziviswa mukutinhira.

Ichokwadi, vafundisi vemharidzo vakaita fungidziro dzavo vakabuda nemazita akasiyana siyana matsva. Vaifanira kuita izvi kuti vayakanisire zvitendero zvavo nedzidziso dzavo dzekuti Kutinhira kwakareva.

Zvisinei, kune dambudziko rimwechete rakakura ravakafuratira.

Jesu anodzoka kuna Zvakazarurwa Chitsauko 19 nezita idzva risina munhu anoriziva.

ZVAKAZARURWA 19:12 … wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.

Saka, hakuna anoziva Zita rake idzva.

Chero munhu anoti anoziva zita idzva munyengeri. Hatitenderwi kufungidzira zvatinofunga kuti zita rake idzva richazova rekuti kudii.

1965 BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 8 FIRADHEFIA

“Ndichanyora Zita rangu IDZVA pamusoro pake”. Zita rangu Idzva. Kana ZVOSE zvava zvitsva, achazvitorera Zita idzvauye Zita iri richave Zita reMwenga wake zvakare. Kuti Zita iri nderekutii, hakuna anoedza kufungira. Inofanira kuva zaruriro eMweya inopihwa pakupendera zvekuti hakuna anoedza kuriramba. Asi hapana kupiksa kuti achazivisa zaruriro iyi kana akuda kupa Zita iroro.

Kutsungirira kuziva kuti zvichazova zvakanakisa kudarika zvatingafungire.

Mweya weCatholic uri kusvibisa makereke emharidzo pavanobvisa Magwaro.

Kereke yeRoma ndiyo kereke yekutanga kubva paMagwaro.

“Mharidzo haitadzi”.

Uyu mweya weRoman Catholic. Kubva mugore 1870 Pope aiti haatadzi.

“Willam Branham ndiye Mwanakomana weMunhu.”

Nemamwe mazwi, amire panzvimbo yaKristu. Uyu mweya weRoman Catholic.

Pope anozvidaidza kuti “Vicarius Christu” saka anenge achiti amire panzvimbo yaKristu.

Uku kutaura kuviri kwenhema kusina kubvira kwataurwa nehama Branham, asi vari kuzviparidza mumakereke emharidzo.

61-0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

Zvino tarirai kupararira kwenyangadzi kuti iparadze, kupararira kwenyangadzi... chii chinonzi nyangadzi? “Kuipa.” mazviona? Kuti kuparadze, chii ichocho? “Kupedza.” Kuparadzira chino kuti chipedze icho. Mazviona? Kupararira kwesimba reRoma kuti ripambe vasikana mapenzi vese, maJuda navose... tese tichava vaRoma kana kuti hatizove chiro.

Kukanganisa kuturikira zvakataurwa zvinoreva kuti hazvigoni kuyananiswa nemavhesi eBhaibheri akakodzera.

Saka vanobvisa kana kupedza chikonzero chingade kuti zvitenderane nemavhesi eBhaibheri.

Mifungo yevanhu inopararira yobata ndangariro dzevazhinji.

Zvakataurwa nehama Branham zvakashandiswa kutsiva Magwaro.

Tinokugamuchirai kumweya weRoman Catholic. Makereke emharidzo ava chikamu chevasikana mapenzi .

Vakatapwa nesimba reRoma rakasimba raituka nekuramba Magwaro apo mutasvi webhiza jena wehunyengeri muchitendero akabuda kunokurira.

Saka, Bhaibheri rinotii pamusoro pekutinhira kunomwe?

 

 

ZVAKAZARURWA 10:1 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.

Tsananguro idzo pamusoro peMutumwa hadzienderane nekutsanangurwa kweGore rakaonekwa muna 1963.

Hapana chiso chaionekwa pamufananidzo chaiwo wakatorwa paTucson.

 

 

Chiso chaionekwa mufotositeti yakaitwa kubva pamufananidzo uyu.

Mutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 anouya kuzomutsa vakafa.

Gore rimwechete mumashure mekutorwa mifananidzo kweGore guru mudenga hama Branham vaive vachiri kutaura pamusoro peMutumwa mukuru muzvikamu zvenguva inouya.

Saka Gore raive risiri Mutumwa Mukuru.

64-0119 SHAROMI

Asi, rangarirai, kana tikangopinda mumumvuri werufu, “Ndini Rumuko nevupenyu; ndichamumutsa zvakare.” Uye kana Mukuru wemasimba ose aburuka akaisa hoko iyoyo pasi, ipapo, “nguva haizovapo.” Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.” Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.

Izwi reMutumwa mukuru riripo kumutsa vakafa.

I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;

65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.

Mwedzi mumwechete vasati vafa, Hama Branham vaive vachiri vakatarisira kuti Mutumwa mukuru aburuke kubva kudenga.

Aive achiri akatarisira Kutinhira kumwechete kunozarura Chisimbiso Chekutanga.

ZVAKAZARURWA 6:1 Zvino ndakavona Gwaiana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi remutinhimiro: Vuya!

Mutumwa haauyi kuzozarura Bhuku. Anouya nekuti Bhuku rinenge razarurwa.

ZVAKAZARURWA 10:2 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;

62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA

Asi uyu haana kubva panyika. Akaburuka kubva Kudenga, nekuti zvakavanzika zvese zvaive zvapedziswa. Kana zvakavanzika zvese zvapedziswa, Mutumwa akati, “Nguva haizovipo zve,” Kutinhira kunomwe kunobva kwareva manzwi ako.

Anoburuka chete mumashure mekuzarurwa kweBhuku .

Nyika negungwa ndimo makavigwa vatsvene vese kubva kunguva nomwe dzemakereke.

 

Kutinhira kunomwe kuchareva mumashure merumuko rweTestamente Itsva

 

ZVAKAZARURWA 10:3 Akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.

Kudzvova kwekukurira kwekupedzisira kweshumba yerudzi rwaJuda. Anodzoka kuzomutsa vakafa kubva kunguva nomwe dzemakereke.

“Kudanidzira nenzwi guru”. Izwi reMutumwa Mukuru.

Izwi rekuti “kudanidzira” rinoyanana nerumuko.

“Akadanidzira nenzwi guru” ... akati “Adanidzira” zvinodzokororwa muEvangeri.

Pekutanga pakumutswa kwaRazaro.

JOHANE 11:43 Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!

Saka Kutinhira kunomwe kunoreva mumashure mekumutswa kwevakafa veTestamente Itsva.

Pakafa Jesu, vatsvene veTestamente Yekare vakamutswa mumashure mekumuka kwake.

MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.

51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.

52 Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.

53 Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.

Asi chakavanzika chezvakarehwa neKutinhira kunomwe hachina kubvira chataurwa saka hachingafanozivikanwe.

ZVAKAZARURWA 10:4 Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.

Hatigoni kuturikira zvinhu zvisina kunyorwa muBhaibheri. Kuedza kuita izvozvo kurasika kwakazara.

 

Dzidziso dzeKutinhira dzinokwanisa kuunza mweya usiwo muvanhu

 

MARKO 3:17 NaJakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun’una waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Boanergesi ndokuti vanakomana vokutinhira;

RUKA 9:52 Akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.

53 Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.

54 Vadzidzizi vake, Jakobho naJohane, vakati vachizvivona, vakati: Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?

55 Asi iye wakatendevuka, akavaraira akati hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.

Vanakomana vokutinhira vaidisa kwazvo kuparadza chero munhu aive asina kugamuchira Jesu.

Uyu waive mweya usina kunaka.

Ngwarirai vatendi vanotenda muKutinhira nhasi. Vanogona kuva nemweya mumwechete uyu.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23