Mwari anogona kudzima zvese kana kuti chikamu chehupenyu huzere zvivi



Chikamu chehupenyu hwemunhu azere zvivi chinogona kushandiswa mukusaziva kubatira Mwari. Mwari anogona kushandisa vanomutadzira.

First published on the 14th of August 2022 — Last updated on the 14th of August 2022

Jehoiakini akarasikirwa nemakore gumi ehupenyu hwake

 

ZVAKAZARURWA 3:5 Unokunda, uchapfekedzwa saizvozvo nguvo chena; handingatongodzimi zita rake pabhuku yovupenyu,

Kana tikatadza zvakanyanya Mwari achatidzima mazita edu kubva mubhuku rehupenyu. Iyi iyambiro yakasimba.

Asi, dzimwe nguva, zvakanakira chinangwa chikuru chaMwari kuti chikamu chehupenyu hwemutadzi chizivikanwe. Saka mutadzi anokwanisa kushandira Mwari asingazivi. Izvi zvinoratidza kuti Mwari ane simba pamusoro pevatadzi vakaipa vanovenga Mwari.

Kefasi, muprista mukuru akaipa, akanga akavenga Jesu zvikuru kwazvo zvekuti akabvarura nguvo dzake mukutsamwa kukuru kwedhimoni chairo kwaive kwamubata.

MATEO 26:65 Ipapo muPirisita mukuru akabvarura nguvo dzake akati wamhura Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai manzwa zvino kumhura kwake

Izvi zvakaputsa Murairo.

REVITIKO 21:10 "Munhu, ari mupirisiti mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake, wakatsaurwa kuti afuke nguvo dzomupirisiti mukuru, ngaarege kusunungura vhudzi romusoro wake, kana kubvarura nguvo dzake.

Izvi zvakapa Mwari chikonzero chaaida kuti abvarure chidzitiro chemuTembere akazivisa kuti Kefasi aive agumisa Murairo.

MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.

51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.

Zvakaipa zvekuti mutadzi akagumisa Murairo vakatendera Mwari kuzivisa Evangeri reNyasha.

Saka, Kefasi nekuipa kwake akaitira Mwari basa.

Munhu akashinga Gidioni aive asina kugadzirira kurwisa hondo yemuvengi, Mwari akapa vahedeni vaviri hope nedudziro yadzo. Gidioni akavanzwa vachitaura akaziva kuti aive Mwari aitaura naye achimuudza kuti arwise.

Hitira aive akavenga maJuda akauraya maJuda 6 miriyoni negasi paaiedza kuvaparadza neHorokasiti. Ndiko kwaive kuipa kwekuuraya kukuru uku zvekuti mamwe marudzi akanzwa tsitsi pamusoro pemaJuda zvechinguvana vakasarudza kuti vapihwe chidimbu cheMusha wavo weChipikirwa mugore 1948. Saka, kuuraya kwaHitira kwaive kwakaipa kwakabatsira kuzadzisa zvakaprofitwa pamusoro pemaJuda kuti adzokere kuIsraeri mumashure memakore zviuru zviviri ehutiziro.

Ngatitarisei nyaya yaJehoiakini anodaidzwawo kuti Jekonia kana kuti Konia.

Aive munhu akaipa kwazvo aasi aifanira kuita basa guru rakakosha muZano raMwari Guru.

Jehoiakini aifanira kuva nechokwadi kuti hakuna umwe kunze mwaJesu aizoita Mambo wemaJuda.

II MADZIMAMBO 24:8 Jehoyakini wakatanga kubata ushe ava namakore gumi namasere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Nehushuta mukunda waErinatani weJerusaremu.

II MAKORONIKE 36:9 Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJEHOVA.

Tsoro yacho iri pamakore gumi akadzimwa pahupenyu hwaJehoiakini.

Mwari ari kuedza kutiudza kutii?

Chiverengo chechinomwe chinozadzisa. Semuenzaniso, mune mazuva manomwe muvhiki rimwechete.

Chiverengo chechisere ndicho chiverengo chezvinhu zvitsva. Semuenzaniso, mune vanhu vasere vakanyora Testamente Itsva.

Nekusarudza zera remakore masere pana Konia, Mwari akasika chimisikidzo chisva.

Nekutonga kwemwedzi mitatu, Konia ndiye akaita mambo weIsraeri ari pamurairo asi akaipa.

Mwari aida kuti ave mambo waIsraeri wechinguvana kuti vana vake vese vave verudzi rwehushe. Asi Mwari akabvisa Konia pachigaro akatuka vaimutevera vose kuti pashaikwe aiberekwa muropa rake aizoita mambo zvakare.

Mwari akabva adzima mamwe makore gumi aitevera ehupenyu hwake aive azere zvivi aive asina kufanira kunyorwa pasi.

Chinhu chinodakadza. Pazera remakore masere aive asati asvika nguva yekuputudza, saka aive asingakwanisi kuita vana. Mwari akamuisa pachinzvimbo chamambo wechidiki wemakore masere asingagoni kuita vana. Aive asitorina mwana. Saka aive asina vana vaizomutevera kuva mambo. Aive nevana vasere nevamwe vakawanda vaive veropa rake, asi hapana pakati pavaikwanisa kuva mambo. Vose vakatadziswa nekutukwa kwake.

Saka, Mwari akaita kuti kutaura kwekuti kutanga kwake kwaive kwatanga aine makore masere, aisakwanisa kuita vana ari mambo. Nekuti akangoita mambo kwemwedzi mitatu.

Chakavanzika ndicho, nei Mwari akaona mwedzi mitatu yaakatonga seyakaipa kwazvo paakasvika makore gumi nemasere. Nei pakaita mwedzi mitatu isina kudzimwa.

Nekuti aive munhu akaipa, taigona kutarisira hupenyu hwake hwese kuti hudzimwe.

Mwari aitaura kuti samambo, Jekonia aive asina mwana aizomutevera kuva mambo.

Asi nekutonga samambo kwemakore matatu aive mambo ari pamutemo vana vake vaikwanisa kutora humambo kana vakaberekwa muropa rake. Asi vakaberekwa kubva muropa rake vaisatenderwa kuita madzimambo.

Semunhu Jekonia aive nevana vasere.

I MAKORONIKE 3:17 Vanakomana vaJekonia, vakatapwa. Shearitieri mwanakomana wake,

18 NaMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.

Zvakare chiverengo chechisere.

Mwari ari kugadza chiitiko chitsva umo rudzi rwehumambo runotangwa asi rwovharwa nekutukwa. Izvi hazvina kubvira zvamboitika kubva pakutanga.

Saka tinoda nhorondo.

Jehoiakini aive ani? Aive Mwanakomana waJehoiakimu.

II MAKORONIKE 36:8 Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoiakini mwanakomana wake akamutevera paushe.

Asi Jehoiakini aidaidzwa kuti Jekonia.

I MAKORONIKE 3:16 Vanakomana vaJehoyakimu: Mwanakomana wake Jekonia, mwanakomana wake Zedhekia.

Jekonia aizivikanwawo nekunzi Konia.

JEREMIA 22:24 Nohupenyu hwangu ndizvo zvinotaura JEHOVA kunyange Konia, mwanakomana waJehoiakimu, mambo waJudha, aiva chindori chokutsikisa nacho paruoko rwangu rworudyi, kunyange zvakadaro ndaikubvisa ipapo

JEREMIA 22:28 Ko munhu uyu Konia mudziyo wakaputsika unozvidzwa here? Iye mudziyo usingafadzi munhu here? Vakadzingirweiko, iye navana vake, vakadzingirwa kunyika yavasingazivi?"

Mwari ari kubvisa Konia (kana Jekonia) nevana vake (verudzi rwake).

Mwari anoisa chituko pana Konia nevana vake. Hakuna mumwechete wavo achabvira aitwa mambo waIsraeri.

Kana takatarisana nekuva mambo weIsraeri, Konia haana mwana nekuti rudzi rwehumambo rwakagumira paari nekuda kwechituko ichocho.

JEREMIA 22:30 Zvanzi naJEHOVA, "Nyora kuti munhu uyu haana vana, munhu usingazofari pamazuva ake; nokuti hakuchina murume pakati pavana vake uchava nomufaro,uchagara pachigaro choushe chaDavidi, achibata ushe hwaJudha,"

Ndicho chikonzero nei pakabviswa makore gumi ehupenyu hwake achiri mudoko kuti aite mambo aive nemakore masere. Zera duku kwazvo pakuita vana. Kana takatarisa pakuva mambo, Konia haana mwana. Haazoiti zvachose munhu weropa rake anobva kwaari anoita mambo waIsraeri.

Ichi chaive chakavanzika kumaJuda.

Rudzi rwehumambo rwaibva nekunaSoromoni rwakagurwa panaKonia. Saka Messiasi angaite sei mambo nekuti anofanira kubva kurudzi rwehumambo rwaive rwagurwa?

Chero mumwe munhu wenguva yaJesu aida kuzviita mambo aizofanira kubva murudzi rwehumambo rwaive rwagurwa. Izvi zvaizotadzisa munhu iyeye.

 

Jesu aifanira kudarika kutukwa kwaKonia kuti ave Mambo

 

 

saka Jesu aizodarika sei kutukwa kwaive kwaiswa pana Konia parudzi rwehushe.

Josefa, Murume waMaria, aive murudzi urwu. Aive werudzi rwehumambo asi aisakwanisa kuva mambo nekuda kwekutukwa uku.

Ruka Chitsauko 3 yakabva yataura rudzi rwakasiyana panaMaria.

Mateo Chitsauko 1 inobva kuna Davidi kusvika kuna Soromoni, mambo.

Ruka inobva panaDavidi kusvika pana Natani, mumwe wevanakomana vaDavidi. Kotevera rumwe rudzi rwakatosiyana zvachose.

Kuna Ruka:56 mazita kubva kuna Abrahama kusvika kuna Jesu.

Kuna Mateo: mazita 43 kubva pana Abrahama kusvika panaJesu.

Mazita 13 akabviswa kubva muBhuku raMateo. 13 chiverengo chekumukira.

Yambiro yakasimba. Vaifunga kuti vaive vana vaAbrahama nekuti vaive maJuda. Asi vakamukira Shoko raMwari vakadzimwa kubva muHushe hwaMwari kuva verudzi rwehuMwari hakuna kuvanunura.

GENESISI 14:4 Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.

Ruka akatevera mutsetse waMaria usingatarise Konia nekutukwa kwake.

Maria anoroorwa aane mimba ine mwedzi mitatu zvinoratidza kuti Josefa aive asiri baba vaJesu.

Josefa akatora Jesu akamurera semwanakomana wake.

Mwanakomana wekuwana wekurera ane kodzero dzimwechete nemwana wekubereka.

Saka Jesu akava chikamu cherudzi rwehumambo nekurerwa asi akasununguka kubva pakutukwa kwaKonia nekuda kwekuti akabva kurudzi rwakasiyana naye rwaNatani akabereka Maria.

 

Vabereki vemukadzi wake vakakurudzira Ahazia

 

 

Ngatitarisei mazita matatu emadzimambo akadzimwa naMateo.

Pakati paDavidi naJekonia (Konia) patinotarisa mutsetse wemadzishe echiJuda muBhuku raMabasa neMakoronike, tinowana kuti Mateo akasiya madzimambo MATANHATU.

Izvi zvinotyisa. Hupenyu hwevarume vatanhatu hwakadzimwa kubva kuzvinyorwa zvaMateo sekunge vasina kubvira vararama.

Mumashure maMambo Joramu (Jehoramu) tinoona vanhu vatatu vanobviswa: Ahazia, Joashi naAmazia.

Munhu wechina akadzoka kuna, Uzzia kuna vaHeberu (kana kuti Oziasi muchiGiriki). Anodaidzwawo kuti Azaria.

Kuroora mukadzi akaipa (kubatanidza kereke inotungamirirwa nevanhu pachinzvimbo pekutungamirirwa neMagwaro) Joramu akabereka mwanakomana akaipa, Ahazia. Mwanakomana asina kuita rudo nekutevera Magwaro.

II MADZIMAMBO 8:27 Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabhi, akaita zvakaipa pamberi paJEHOVA, sezvakaitwa neimba yaAhabhi; nokuti wakanga ari mukuwasha weimba yaAhabhi.

Tinodzidzei kubva kuna Ahazia?

Vana vanokurudzirwa zviri nyore nevabereki vavo nevanovab erekera vadiwa vavo votevera kuipa kwezera revabereki.

Saka Ahazia akabviswa kubva muBhuku reHupenyu.

Saka ngwarirai kuti vabereki venyu nevanobereka vadiwa venyu vanotenda mune zvipi. Chokwadi chinofambira mberi. Vabereki vanowanzotenda muchokwadi chazuro vanokundikana kuona paana Mwari nhasi.

Vanoita sevanorarama vachitarisa nepagirazi rinoona zviri kumashure zvakadarika.

 

Johashi ainyanya kukurudzirwa nevamwe

 

 

Johashi haana kukwanisa kuzvifungira nekuti vamwe vaimupa kurudziro dzavo.

Zera rakatevera raive raJohashi.

Uyu muenzaniso unotyisa wekuti vanhu vakatanga zvakanaka vakarasika sei pamberi paMwari.

Johashi, semunhu wechidiki, aigonesa kwazvo akanatsa kuipa kwambuya vake Ataria.

Saka, zvese zvaiita sezvakanaka. Asi kwaive kunyengera.

Johashi akagara munzira yakanaka muprista Jehoiada achiri mupenyu.

II MAKORONIKE 24:2 Joashi akaita zvakanaka pamberi paJEHOVA mazuva ose omupirisiti Jehoyadha.

Pakangofa Jehoiada, Johashi akatendera vanhu kumupa kurudzira dzakamuendesa nenzira yakaipa.

Chidzidzo 1: Haasi matangiro ako anokosha. Chinokosha mapedzero ako.

Chidzidzo 2: Munofanira kuzvifungira. Kana muchikurudzira nevanhu vakanaka, hazvikubatsirei kana muchingoita zvavataura. Rimwe zuva anobva kwamuri, mumwe munhu anouya okutungamirirai mafungiro enyu modzokorora zvinotaurwa nemunhu iyeye. Zvinokuitai paroti. Munogona chete kutevedzera zvinotaurwa nevamwe. Maparoti haana kutaurwa muBhaibheri.

Munofanira kutenda muchokwadi cheBhaibheri kuitira hupenyu hwenyu. Kwete nekuti mumwe munhu akati mudaro.

Munofanira kutora zvakataurwa nehama Branham motsigira zaruriro iyi nekuitevera mumavhesi eBhaibheri. Munobva matenda izvozvo nekuti Bhaibheri rinotaura kudaro, kwete nekuti Hama Branham vakadaro.

1965-0725 VAKAZODZWA MUMAZUVA EKUPEDZISIRA

Saka tichaziva, kutsigira izvi, zvese neShoko; kwete nemazano evanhu, kana dzimwe tsananguro.

Handina basa nekuti ndiye ani; chero umwe munhu, ini kana ani, “Kana achitaura zvisiri mumurairo nemuzvakaprofitwa, hamuna chiedza maari.” Mazviona? Ndizvo zvinotaura Bhaibheri. “Shoko reMunhu wese ngarive nhema, rangu rive rechokwadi,” zvisinei nekuti ndiyani.

Kana munhu ane simba kwazvo kana mbiri akabva panzvimbo kunouya vanyengeri vakawanda vanoedza kuzadzisa nzvimbo yake.

II MAKORONIKE 24:17 Zvino Jehoyada akati afa, machinda aJudha akasvika, akanamata mambo. Ipapo mambo akavateerera.

Johashi aive asina kubvira adzidza kuzvifungira iye pachake. Aingotevedzera zvaaiudzwa naJehoada. Kudzokorora chokwadi separoti nekuti munhu waMwari amudzidzisa izvozvo, hazvina kuita kuti Joashi atende.

Joashi haana kubvira aita nguva yekuzvitongesa pamusoro pezvitendero izvi saka aizokasika kubva kwazviri paifa Jehoiada.

Jehoiada akafa Joashi akabva afanana nengarava isina mutyairi.

Ndicho chikonzero nei makereke aine jongwe pachisuvi chawo chisina kutaurwa nezvacho muBhaibheri semuteyo wemhepo. Rinotevera kunongedzera chero kwaenda mhepo.

 

 

Jongwe mucherechedzo wekurira kwejongwe Petro paakaramba Jesu.

Jongwe mucherechedzo wekereke iri kuramba Shoko raMwari riri kuziviswa kunguva yedu.

Chisuvi chekereke mucherechedzo wemasvingo eBaberi.

Joashi akangotevera kwaienda mhepo dzemazano aivepo panguva iyoyo. Pakupedzisira, akanga anemuprofita Zekaria, aive mwanakomana waJehoiada, akatakwa nemabwe akafa.

II MAKORONIKE 24:20 Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paZekaria, mwanakomana womupirisiti Jehoyada, akamira pakakwirira pamberi pavanhu, akati kwavari, "Zvanzi naMwari, `Munodarikireiko mirairo yaJEHOVA, muchiramba kufara? Zvamasiya JEHOVA, naiye wakakusiyayiwo.

21 Ipapo vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJEHOVA, varairwa namambo.

“Ruvanze rweImba yaJehova” ipapo, pedyo nepaive neShoko raMwari paraichengeterwa muTembere.

Ndiko kwaive kuvenga kwavo chero munhu aiedza kuvayeuchidza Shoko raMwari rakanyorwa.

Zita rekuti Joashi raiita serakanaka. Zita rake raireva kuti “Kupihwa naJehova”. Asi mari ndiyo yakava kuwira kwake pasi. Akatora pfuma yemuTembere, semapasita emazuva ano vanotora chegumi chese.

Asi Joashi haana kushandisa mari iyi kuparidza chokwadi.

Yese yakaenda kumuvengi.

II MADZIMAMBO 12:18 Asi Jehoashi mambo waJuda, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJEHOVA neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.

Ipapo vashoma vevavengi vakauya vakavatapa vazhinji vemaJuda.

II MAKORONIKE 24:24 Nokuti hondo yavaSiria yakauya neboka duku ravanhu; JEHOVA akaisa pfumo guru-guru mumaoko avo, nokuti vakanga vasiya JEHOVA Mwari wamadzibaba avo. Nokudaro vakaitira Joashi zvakanga zvatongwa naMwari

 

Amazia akaita zvakawanda zvakanaka asi akachengeta kumwe kuipa

 

 

Kwakauya rudzi rwemunhu wetatu akadzimwa kubva muBhuku reHupenyu.

Amazia. Mwanakomana waJoashi.

Zvisinei nekuita zvakanaka zvakawanda akatya kushandura zvimwe zvinhu zvaitendwa zvaive zvakaipa.

Sevanoenda kumakereke mazuva ano.

Vanoita zvakanaka zvakawanda asi vanotya kupokana nemapasita avo kana vafundisi pavanoparidza zvinhu zvisimo muMagwaro.

Saka, vanoponeswa voita zvinhu zvakanaka asi votambira Tiriniti, Mwari Mwanakomana, Kisimusi, nekunamata kana kuisa pasita pachinzvimbo chaMwari mukereke.

II MADZIMAMBO 14:3 Akaita zvakarurama pamberi paJEHOVA, asi haana kufanana nababa vake Davidi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi.

4 Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.

Amazia haana kunatsa kuita kwake zvakazara. Akabatira Mwari asi akasiya nzvimbo dzakakwirira dzainamatwa mifananidzo.

Tinofuratira zvakaipa kuitira kuti tigashirwe nemakereke. Tinobatirira pazvifananidzo zvekusangana pabonde, mari, nembiri zvinotsiva Mwari zviri nyore mumoyo yedu.

Nzvimbo dzepamusoro. Vazhinji vanotya kutsiura zvakaipa zvekereke.

Semapfekero evanhukadzi.

Tinotendera zvinhu zvakaipa kuti tirambe tiri nembiri uye tichitambirika pavanhu.

Zvakaipa kudaro. Tinopokana nezvinhu zvakanaka kuti tirambe tiri nembiri mukereke.

Tinotuka nekuramba vanoedza kutigadzirisa vachishandisa Magwaro.

Joramu, sababa, vakaroora Ataria, zvaaitenda zvakabva zvakanganisa mazera kana marudzi matatu akatevera.

EKSODO 34:7 Anochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, anovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo, asi asingapembedzi munhu ane mhosva, anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina."

Marudzi matatu akatsakatika mumashure maJoramu Uzia asati ataurwa. Yambiro kwatiri.

Ahazia, Joashi, naAmazia vakabviswa.

Kana tichida kubatira Mwari tinofanira kugadzirisa hunhu hwedu.

Kana tikabatira Mwari tinofanira kushingirira kusvika kumagumo.

Hatifaniri kuvimba nemunhu. Kana munhu iyeye asipo tinowira pasi.

Munhu anotungamirira watinotevera anotimisa kubva pakuzvifungira.

MAPISAREMA 118:8 Zviri nani kutizira kuna JEHOVA Pakuvimba nomunhu.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23