Mutumwa mukuru



Satani aive mutumwa wepamusoro kusvikira awira muzvivi. Jesu akatora chinzvimbo ichi chekuva Mutumwa wepamusoro, ari Mutumwa Mukuru.

First published on the 27th of November 2023 — Last updated on the 27th of November 2023

Pakutanga, Nyamasari (Rusifa) ndiye aive mutumwa wepamusoro soro. Akasimudzwa nekuzvikudza nekuda kwezvipo zvizhinji zvaaive nazvo. Akafunga kuti aikwanisa kutora nzvimbo yaMwari asi akawira pasi achibva Kudenga. Akawirawo pasi kubva pakuva mutumwa wepamusoro soro akava chipuka chezasi, Diaborosi. Hakuna chinhu chinonzi “Mutumwa akarasika”. Kana mutumwa akawira muzvivi anoshanduka kuita dhimoni.

Mwari akazviitira muviri wemutumwa akazvidaidza kuti Mutumwa mukuru, Mikaeri.

Kungori nemutumwa mukuru mumwechete.

Mikaeri zvinoreva kuti ndiyani akaita saMwari? Hakuna, kunze kwake Mwari pachake.

Kungori nekaviri kakataurwa pamusoro peMutumwa mukuru.

Akaita basa rekumutsa Mosesi kubva kuvakafa anodaidzwa Mikaeri.

JUDASI 1:9 Asi Mikaeri Mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDiaborosi, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka asi wakati: Ishe ngaakuraire.

Mutumwa Mukuru anomutsa vanhu kubva kuvakafa. Satani akanga asati akurirwa paCalvari, saka anotonga vakafa. Mwari akashandisa simba rake repamusoro “akatora” Mosesi kubva kuvakafa kuti azoonekwa pamwechete naErija paGomo reKubwinya.

I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi roMutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka.

Izwi reMutumwa Mukuru rinomutsa vatsvene veTestamente Itsva pakumutswa kwevakafa. Uyu ndiye Mutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10.

Kudanidzira kunobva kuMwenga pavanodzidza kutevera Magwaro nekutsigira mharidzo yehama Branham vachishandisa Magwaro.

62-1111 E NEI NDICHIPOKANA NECHITENDERO CHAKARONGWA NEVANHU

Mumashure memharidzo yekuti “Budai maari vanhu vangu!” mumashure mezvinhu izvi,” tarirai, “kune kudanidzira kweMwenga mutsvene neChikomba, vachienda kuMuchato neGwaiana.”

1965-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA

Kuna Mwari akanaka, panguva ino yakadai, ichava nguva yakaita seino pakuchava nekurova kwekutinhira umwe musi, Mwanakomana waMwaria chaburuka kubva kudenga nekudanidzira, nenzwi reMutumwa mukuru, hwamanda yaMwari, vakafa muna Kristu vachamuka”.

Mwedzi mumwechete asati afa Hama Branham vaive vachiri vakamirira kudanidzira.

Zvaive zvisina kumukwanira kutevera Magwari zvakazara. Hazvina kubereka Kukwira Kudenga mukubwaira kweziso.

Mwenga aifanira kutsigira Mharidzo yake achishandisa Magwaro kusvikira zvese zvatinoita zvazveMagwaro. Kana tikangotaura zvakataurwa neBhaibheri zvatinonzwisisa, ndiko kuchava kudanidzira kuchaunza Mutumwa Mukuru kubva Kudenga kuzomutsa vakafa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10.

Mikaeri ndiye Muchinda mukuru kumaJuda.

DANIERI 10:21 Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwazvokwadi: asi hakuna unozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri Muchinda wenyu.

DANIERI 12:1 Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru unorindira vana vavanhu vako:

Asi Mikaeri ndiye Muchinda wemaJuda.

DANIERI 9:25 Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa komurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusarema kunowakazodzwa, Iye (Messiasi) Muchinda;

Jesu ndiye Mwari ari mumuviri weMunhu. Mikaeri ndiMwari ari Mutumwa.

DANIERI 9:26 Zvino kana vhiki idzo dzinamakumi matanhatu nembiri dzapera, wakazodzwa uchabviswa akasara asine chinhu; vanhu vomuchinda unozovuya vachaparadza guta nenzvimbo tsvene.

MaRoma akauraya Jesu nekumuroverera pamuchinjikwa. MaRoma ndivo vanhu vemuchinda anozowuya achava Pope wekupedzisira anotonga pasi rese.

Saka, kune umwe Muchinda achauya kubva kuRoma nekuti Roma yakaparadza Temberi yemaJuda neguta reJerusarema mugore AD 70.

Kune maChinda makuru maviri. Mwari ari mumuviri wemutumwa anodaidzwa Mikaeri naSatani achapinda mumuviri waPope wekupedzisira.

DANIERI 10:13 Asi muchinda wovushe bwavaPersia wakandidzivisa mazuva anamakumi maviri nerimwe; asi tarira Mikaeri umwe wamachinda makuru; wakavuya kuzondibatsira, ndikasara’ko kunamadzimambo avaPersia.

Mwari vari Mutumwa Mukuru Mikaeri, ndivo Muchinda Mukuru wezvakanaka. Satani mumuviri waPope wekupedzisira ndiye mumwe Muchinda mukuru. Mudziyo wemunhu wezvivi.

Mikaeri naSatani ndivo Machinda makuru maviri.

Tinofanira kusarudza kuti tichashandira ani. Mikaeri akamirira kuti titevere Magwaro zvakazara. Kana tikadzidza “kudanidzira” Magwaro nekudzokera kune zvakatendwa nekereke yekutanga, Mikaeri Mutumwa Mukuru achaburuka kuzoita Izwi reKumutswa kweVakafa.

Satani anoita nguva yake zhinji achiita basa rekuona kuti hatisi kudzorerwa kuMagwaro sezvaiva kereke yekutanga. Satani achaita kuti tisiyane nekereke yekutanga.

Mbeu inokohwewa nekubviswa kubva panyika paKukwira kudenga mukubwaira kweziso inofanira kufanana nezvaive mbeu yemapostora yakadyarwa munguva yekereke yekutanga.

 

 

ZVAKAZARURWA 1:11 Ndini arfa neOmega, wokutanga nowokupedzisira; ...

Jesu achauya kana kereke yekupedzisira yakutenda zvakafanana nezvakatendwa mazviri pakereke yekutanga yemapostora.

ZVAKAZARURWA 12:7 Zvino kurwa kwakavako Kudenga: Mikaeri navatumwa vake vakarwa neShato; shato ikarwa inavatumwa vayo.

Kana kereke yekupedzisira ikadzorerwa kunotenda zvakatendwa pakereke yekutanga ipapo Jesu, ari Mikaeri, anodzinga Satani Kudenga kuti Jesu aburuke paNyika atore Mwenga wake akanatswa anotevera Magwaro zvakazara kuti akwire Kudenga. Satani achapinda muna Pope wekupedzisira kwemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.

Gaburieri mutumwa akafanana nevamwe vatumwa asi mutumwa akakosha panhau dzekutakura shoko kubva kuchigaro chaMwari chehushe kuuya panyika.

Ndovimba kuti izvi zviri kunzwisisika.

Ndaedza kuyananisa Magwaro anotaura pamusoro paMikaeri neMutumwa Mukuru.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23