Muonde mucherechedzo unoshandiswa neBhaibheri kutsanangura Israeri
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Miyenzaniso yakati kuti inoratidza kuti Ishe vanoshandisa muonde kumiririra Israeri.
- Kuzvifukidza nemashizha emuonde mucherechedzo wehumbwende hwevanhu
- Muti wemuonde mucherechedzo wekuchengetedzeka nekuzvimiririra
- Natanieri akange asina kuzvidza ari pasi pemuvonde wake
- “Kereke yenguva inouya ndiyo manera ekukwira kudenga kuna Mwari”
- Madhimoni emabhizimisi makuru mukereke
- Nei Jesu akatuka muti wemuonde?
- Kana zvinhu zvikakanganisika vanhuwo zvavo ndivo vanofa
- Miti iyi yese yakava marudzi akazvimiririra mumashure meHondo yePasi rese yechipiri.
- Mhepo dzenguva yeKutambudzika dzinouraya zvikamu zviviri pazvikamu zvitatu zvemaJuda
- MaJuda anogara pasi pemuonde wawo muMereniyamu
Kuzvifukidza nemashizha emuonde mucherechedzo wehumbwende hwevanhu
GENESISI 3:6 Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
Eva akafuratira michero yemaonde inotapira akasarudza muchero waionekera sewakanaka wekuziva. Akanyengerwa nemaonero aaiita muchero uyu uye kuzvikudza. Akafunga kuti aizochenjera.
“Kushaiwa maturo, zita rako mukadzi” ndizvo zvakataurwa naShakespeare.
Eva paakawana mukana wekutadza, akatora muchero wemuti wakaipa wakaunzwa mupfungwa dzake.
Pavakatadza vakanyenyeredza michero inotapira yemaonde vakaedza kuzvifukidza zvivi zvavo nemashizha awo. Vachitadza kubereka zvibereko zvakanaka zveMweya, vakasarudza kuzvidza kwekuzvifukidza.
Kuzviitisa, kuratidzika kwenhema. Sekunge vaikwanisa kuviga zvivi zvavo. Zvainyangadza kwazvo.
Chitendero chinongofukidzira kurasisa vanhu nekuita kuti vafunge kuti vari kuita zvakanaka. Zvakafanana nekuzvigadzira chiso.
Adamu naEva vaive vahwanda kuseri kwemashizha emuonde sekuti vaigona kuzviponesa nemabasa avo avakanga vaita.
Mashizha emuonde akasonwa pamwechete kuti aite nguvo mucherechedzo wemazano evanhu asingashandi.
Mazano evanhu anovaka masangano nemapoka emakereke.
Vakabva varamba vachibva paMagwaro nekufamba kuri kuita nguva.
Munhu anoedza kuwana nzira yake kudzokera kuna Mwari.
62-1111 NEI NDICHIPOKANA NEZVITENDERO ZVAKARONGWA NEVANHU
Zvino, Adamu aive nechitendero, asi akachiita iye ega, kubva kumashizha emuonde, hachina kushanda. Akazviitira tsananguro dzake akaedza kuita nzira yekupunyuka, kuti awane ruponeso kubva muchinhu chaakazviitira iye pachake, Mwari akazviramba, kubva kuna Adamu kusvika kumurongo webato rekupedzisira. Hazvina kubvira zvakaitika, asi nenyasha dzaMwari tichazvitsigira neBhaibheri. Chitendero chaive chekufukidzira. Adamu akazviitira mafuko kubva kumashizha emuonde, akamagadzira, iye pachake, kuti aedze kuzviitira chimwe chinhu.
64-0618 HUVEPO HWAMWARI HUSINA KUONEKWA
Zvakanaka, zvino, ndirwo rudzi rwechimiro chemweya chiripo. Vanhu vakapofomara pamweya, varombo, havana mufaro, havana kufuka pamberi paMwari, vatadzi vanoedza kuzvifukidza nemashizha emuvonde eboka kana sangano, asi ivo vasingazvizivi.
63-1124 NDUDZI NHATU DZEVATENDI
Sezvaive Eva, aive mutendi, chokwadi, saka, asi aisatenda Shoko rechokwadi. Saka akasarudza kuzviitira chitendero, saka akagadzira mashizha emuonde, mazviona, asi hazvina kushanda. Chitendero zvinoreva kuti “nguvo.”
Mashizha emuonde ndeekutsiva.
Mwari akasarudza ropa chipiriso chekutsiva nacho chisina mhosva. Gwayana rakafa pachinzvimbo chaAdamu.
Gwayana rakatora zvivi zvaAdamu Adamu, nenyadzi dzezvaaive aita, akatora kushaiwa mhaka kwegwayana.
Asi, Mwari asati auraya mhuka, Adamu akasarudza kuita chitendero chekutsiva chemashizha emuonde chaisasanganisira kudeuka kweropa saka paive pasina kushaiwa mhaka sezvo mashizha aisakwanisa kuripira zvivi nechero nzira.
Adamu akavanda kuseri kwenguvo yemashizha emuonde zvaiita sezvinodakadza asi zvakamusiya ari mutadzi.
63-0626 NEI
Mwari vakadanwa kuzoita sarudzo kurudzi rwevanhu, mumunda weEdeni, pakaitwa chivi chekutanga. Aizokwanisa kugona kudzikinura mwana wake aive arasika here kuti awadzane naye zvakare? Akagadzirisa chinhu chimwechete. Hachina kushandurwa, nenzira yeropa. Nekutevera Magwaro, hazvina kudzima kana kushandura, hazvizogoni zvachose, nekuti isarudzo yaMwari, neRopa. Kunyangwe, tikaedza kuzvidzima. Takaedza kudzidzisa. Takaedza kuchikudza. Tikaedza kuita zvese zviri mumurairo wevanhu, kuchishandura, sezvakaitwa naAdamu nemashizha emuonde nezvimwe. Asi hazvina kuramba zvakadaro, Ropa ndiro rega nzvimbo yeruwadzano.
62-0531 HONDO PAKATI PAMWARI NASATANI
Zvino, vakadzi vakati wandei, nhasi, vakadzokera mumashizha emuonde, sezvaive Eva.
“Shizha remuvonde” kuita kwakagadzirwa nemunhu; zvikabudura, kubhema, bvudzi rakapemwa, zvinokwezva meso.
Zvavanozviitira, kuratidzika zvakanaka kuvarume vavo? Kana vakadaro, anenge asiri mwanakomana waMwari; muKenani. Uye kana ari mwanakomana waMwari, anokuudza kuti, “Geza chiso chako upfeke mbatya.” Mazviona? Zvakanaka.
65-0725 VAKAZODZWA MUNGUVA DZEKUPEDZISIRA
Zvino tarirai gohwo. Kubva paMbeu yekutanga, Mbeu yakadyarwa muvhu, raive risiri bato. Yaive mbeu imwechete, mairi. Asi payakamera, yaive isiri mbeu; yaive bato, mazviona, mashizha nehura.
Mbeu, inodyarwa asi mashizha ebato rezvechitendero anotanga kubuda.
Mwari anodyara mbeu asi painobuda, munhu anoita chokwadi chekuti anozviunganidzira nekushandura kuita uku kuti kuve boka riri pasi pehutongi hwemunhu.
Mashizha anogona kusonanidzwa nenzira dzakasiyana siyana saka anoita ndudzi dzakasiyana siyana dzemasangano nenzira dzakasiyana siyana dzemafungiro ezvitendero.
Pakangozarurwa meso avo kuti vaone chivi chavo chavakagona kuzviitira nguvo dzisina kufanira nekuzviita kunge vasina kutadza.
Hunyengeri hukuru kuedza kuita kuti chivi chiite kunge chisina kuipa.
Kuedza kuita kuti chivi chiite kunge chisina kuipa ndiko kunyengera kukurusa kwevatungamiri vezvitendero, kwese kumaJuda nevaHedeni, pavanovaka dzidziso dzavo dzakaitwa nevanhu netsika dzavo.
64-1221 NEI VAKAVA VAFUDZI
Mharidzo yakatanga kunzwikwa, yakapihwa pamusoro pedehwe rehwai yakafa, yaive yaurawa naMwari akafukidza Adamu naEva naro. Mumashure mekunge vaedza kuita chitendero chavo chemashizha emuonde, hachina kushanda. Zvibairo zvakaitirwa kuchenura kubva pakutanga, chibairo chegwayana.
Maprofita, ndinotaura zvakare, vaipfeka matehwe ehwaiyi akamonerwa pavari, ‘nekuti vaive vachipupura izvozvo, kuti vanotenda kuti kwaizouya Gwaiana rakarurama rechibairo. Shoko raMwari rakauya kwavari pamusoro pedehwe rehwai.
MaJuda akazowedzera mitemo yakawanda yakaitwa nevanhu nemazano kuMurairo wavo vakashandisa mitemo yavo pachavo nemabasa avo kusahandura Murairo kuuita nguwo yemashizha emuvonde asingavabatsiri. Asi zvakadaro, Jesu paakapokana nemabasa avo enyama, vakaramba chokwadi nekuramba Jesu. Izvi zvaive chokwadi pamusoro pevatungamiri vezvitendero vaishandisa kunamata mutembere kuvaka simba ravo panyama.
Vatungamiri vakatungamirira vanhu kunoparadzwa kwavo vachinypedzera kuvabatsira vachidzivirira maonero avo eshizha remuonde rechokwadi chemuTembere pavaizvidza nekuramba Shoko raMwari.
Muti wemuonde mucherechedzo wekuchengetedzeka nekuzvimiririra
Adamu naEva vakashandisa mashizha emuti wemuonde kuedza kunyengera Mwari.
Mwari aida kushandisa Israeri semuonde kuratidzira kuti zaruriro ye chokwadi cheTestamente yekare (waini yaibva pamuzambiringa) yaive kiyi yekubudirira, rugare nekuchengetedzeka (muchero unotapira unobva pamuti wemuonde).
Mazambiringa anokura pamuzambiringa kuti tiwane waini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro.
I MADZIMAMBO 4:25 VaJuda navaIsraeri vakanga vagere zvakanaka, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuwonde wake, kubva paDani kusvikira paBeerisheba, mazuva ose aSoromoni.
Muvonde waive mucherechedzo wekuchengetedzeka nebudiriro kuvaIsraeri.
Munhu mumwe nemumwe aive akazvimiririra ari pasi pemuti wake wemuvonde.
Paive pasina kutonga kwemutungamiriri wechitendero.
Soromoni, Mwanakomana waDavidi, nevakadzi vake vose vakaita mwenga wake. Anomira semucherechedzo waJesu ari Mwanakomana waDavidi paanotonga muMereniyamu neMwenga wake kereke inotevera Magwaro zvakazara.
Joere anotarira mberi kusvika apo nguva dzemakereke neEvangeri zvinotorwa kuenda kumaJuda 144,000 mumakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru. Mereniyamu yerugare apo munhu mumwe nemumwe anogara pasi pemuvonde wake.
MuMereniyamu maJuda vachange vari rudzi rukuru panyika.
JOERI 2:21 Rega hako kutya, iwe nyika, fara ufarisise; nokuti JEHOVA akaita zvinhu zvikuru.
22 Regai kutya, imi mhuka dzesango; nokuti mafuro erenje anobukira, nokuti miti inobereka zvibereko zvayo, mionde nemizambiringa zvinovigira vanhu simba razvo.
Asi maJuda asati agara pasi pemionde yawo muMereniyamu, mvura yekutanga nemvura yekupedzisira dzinodzidzisa nekutora Mwenga kukwira kudenga. Zvakavanzika zveBhaibheri zvinenge zvaziviswa nesimba rinoshamisa zvichabva kuenda kumaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru.
23 Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna JEHOVA Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
Mvura yekutanga imvura yekudzidzisa inotanga apo Hama Branham vakatanga kuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri muna 1947. Apa ndipo Mwenga akatanga kurwira kutsigira kutenda kwake neMagwaro chete. Gore 1947 ndipo mubatanidzwa wenyika dzepasi rese (UN) wakatendera Israeri kurwira kachidimbu kaduku keNyika yavo yeChipikirwa.
Hama Branham vakabva panyika muna 1965 asi izwi ravo rakatapwa pamakaseti rakaramba richidzidzisa mwenga kuti onzwisisa sei zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro nekubatanidza mavhesi eBhaibheri akafanira pamwechete.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita
Tiri kurarama mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe.
Vanhu vemharidzo vakanyengerwa nevafundisi kana mapasita kuti vafunge kuti izwi remutumwa wechinomwe ndiro Izwi raMwari. Hatina kubvira tavimbiswa Izwi raMwari muTestamente Itsva.
Vanhu veMharidzo vanofanira kudzidza kuti votevera sei Magwaro zvakazara.
Mvura yedzidziso yekunzwisisa Bhaibheri inoenderera mberi kusvikira Mwari vachiuya apo ticharamba tichidzidza chinhu chitsva kubva kuMagwaro. Chinhu chikuru chinotevera kumutswa kwevakafa vatsvene veTestamente Itsva. Izvi zvinoitika kana mutumwa mukuru wekunaZvakazaruwa Chitsauko 10 achiburuka panyika.
Izvi zvinotangisa mvura yekupedzisira apo mbeu dzinobviswa kubva padzinde rakafa radzakaberekwa. Vatsvene vakafa vanobviswa kumakuva kwavo. Kutinhira kunomwe kunoreva manzwi ako kuratidza Mwenga anorarama kuti oshandurwa sei muviri wenyama watinawo uyu kuti vabviswe panyika kunosangana naShe mumakore. Izvi zvinopedzisa mvura yekupedzisira.
Pakuuya kwake kweKutanga, paive nemazuva makumi mana pakati pekumutswa kwaJesu nekukwira kwake Kudenga.
Saka, kunogona kuva nemazuva 40 pakati pekumutswa kwevakafa veTestamente Itsva nekutorwa kwavo kukwira Kudenga kunosangana naShe mumakore (kunodaidzwa nevakawanda kuti Repucha [kukwira kudenga mukubwaira kweziso]).
Munguva iyoyo yemazuva 40, mwedzi wekupendera mvura yekutanga nemvura yekupedzisira kunoitika.
Kutinhira kunomwe kunorevawo mazwi ako kuna Mosesi naErija kuti chokwadi cheBhaibheri chakaziviswa nehama Branham chiendewo kumaJuda 144 000 zvakare kupawo maprofita echiJuda iwayo simba ravo guru rinoshamisa.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Mirirai kusvikira kutinhira kunomwe kwareva manzwi ako kuungano inogona kutora Shoko raMwari voriisa pakadaro apo. Richacheka nekugura. Vachazarira matenga; vanogona kuvhara matenga; vanogona kuvhara chino nekuita icho, chavanenge vada kuita. Ngaakudzwe.
Erija (ChiHeberu)kana Eriasi (ChiGiriki) achazarira matenga kwemakore matatu nehafu mwedzi makumi mana nemiviri.
JAKOBO 5:17 Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu
ZVAKAZARURWA 11:3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviprofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu
ZVAKAZARURWA 11:6 Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuprofita kwavo;
Natanieri akange asina kuzvidza ari pasi pemuvonde wake
Nathanieri, muJuda ari pasi pemuvonde, ari kutsanangurwa semunhu ane chokwadi akatendeka.
Uyu mucherechedzo wekuti Mwari anotarisirei kubva kumuvonde. Zvakasiyana naAdamu, Natanieri haana kuzama kunyengera kana kunyepera zvaasiri. Hapana chinhu muhunhu hwake chakamupa rudo rwekufukidzira chero chinhu chaive chakaipa.
JOHANE 1:44 Firipo wakanga ari weBetsaida, guta raAndreasi naPetro.
45 Firipo akawana Natanaeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMosesi pamurairo navaprofita, iye Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46 Natanaeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabva Nazareta here? Firipo akati kwaari: Vuya uvone
JOHANE 1:47 Jesu akavona Natanaeri achivuya kwaari, akamuti: Tarirai, muIsraeri wazvokwadi, usinokunyengera maari.
Natanieri aive muIsraeri ari muenzaniso agere pasi pemuti wemuonde.
Aive achiremekedzeka, akazvininipisa, ane hunhu. Ndiwo mufananidzo wemuJuda waive uchidiwa naMwari kuti maJuda ese afanane nawo.
MuJuda anofanira kuva munhu anoremekedzeka, asina hunhu hwaAdamu hwekuzvidza
JOHANE 1:48 Natanaeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipo asati akudana, uri munyasi momuvonde, ndakakuvona
Jesu aiona zvinhu zvisiri paari. Aikwanisa kuona Natanaeri ari kure naye asingamuone nemeso enyama achikwanisa kuona zvaaiita uye kuziva zvese pamusoro pake semunhu.
JOHANE 1:49 Natanaeri akamupindura, akati: Rabi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Ishe waIsraeri.
Natanaeri mucherechedzo wemaJuda akarurama. Akanga abvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari ari Mambo waIsraeri.
Izvi ndizvo zvaitarisirwa kumaJuda ese pakauya Messiasi.
Asi vatungamiri vechiJuda vaizonyengera maJuda vovaendesa pakunoparadzwa kwavo kwaizouya pamavoko evaRoma.
“Kereke yenguva inouya ndiyo manera ekukwira kudenga kuna Mwari”
kutaura uku kwakaitwa naIrenaeus, mutumwa kunguva yekereke yechipiri.
JOHANE 1:50 Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda iwe, nokuti ndakati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchazovona zvikuru kunaizvozvi
JOHANE 1:51 Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino Muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu
“Matenga anozarurwa” zvinoreva kuti kuwana zaruriro yakadzama yemweya yezvaitaurwa naJesu.
Kuita kuti zaruriro yemwanakomana wemunhu muMagwaro izivikanwe, apo Shoko raMwari rinoziviswa nemutumwa mumwe nemumwe kunguva imwe neimwe yekereke.
ZVAKAZARURWA 1:13 napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu,
Munhu aive pakati penguva imwe neimwe yekereke aive Mwanakomana wemunhu, Jesu Kristu.
Nguva yekereke imwe neimwe yaifanira kuzivisa Jesu seMwanakomana wemunhu mumapeji eBhaibheri.
ZVAKAZARURWA 3:1 Nyorera mutumwa wekereke iri paSardisi, uti: Zvanzi naiye unemweya minomwe yaMwari, nenyeredzi nomwe:
Mweya minomwe yaMwari ndiyo vatumwa vanoshamisa vanomwe vanotumwa kunotungamirira vanhu (vanodaidzwa kuti vatumwa, nhume kana nyeredzi) mukati menguva nomwe dzemakereke akasiyana. Takazoziva chete pamusoro peizvi Pauro paakatanga hushumiri hwake hune simba guru kwazvo. Pauro akabva afa akakwira kudenga.
Ipapo mumwe mutumwa akaburuka kunotungamirira Irenaeus kusvikira Irenaeus afawo akakwira Kudenga.
Nzira iyi yakadzokororwa nguva imwe neimwe yekereke.
Pakupedzisira, muna Kurume 1963, vatumwa vanomwe vese vakaburuka pamazuva akasiyana kuzozivisa chakavanzika cheZvisimbiso zvinomwe kuhama Branham. Zvakavanzika izvi zvakagonesa hama Branham kutanga kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro zvakazivisa Jesu seMwanakomana weMunhu, achifamba nemapeji eBhaibheri, zvinogonesa isu kuti titende dzidziso imwechete nekereke yekutanga yaitungamirirwa nemapostora.
Nekutevera nzira yaifamba naJesu muShoko rakaziviswa tinozviwana tichidzokera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga. Iyi ndiyo yega kambasi kana munongedzo unotiratidza nzira.
Zvakakosha here kuti mwenga anzwisise zvakavanzika zveMagwaro pachake paanobatanidza mavhesi eBhaibheri akasiyana siyana pamwechete kuita musoro wenyaya unozivisa dzidziso.
SaNathaniel, munhu akagara pasi pemuti wake wemuvonde anogona kuzvifungira.
Natanaeri haana kutongwa nevatungamiri vechitendero chechiJuda venguva yake.
Vatungamiri vechitendero chechiJuda vakavaka chinamato chese chemuTembere kuchiita dziva rezvitendero zvisimo muMagwaro chinofambiswa negodo neruchiva rwemari nekuzviunganidzira pfuma.
Semapasita emakereke nhasi vanozvikakata, “Ndakapfuma ndine zvinhu zvangu handishaiwe chinhu. Handitodi kugadziriswa”.
Natanaeri aiziva kuti Nazareta ine mbiri yakaipa asi aive achingori akazvipira kuuya kuzotsvaga zvaive zvawanikwa naFiripo.
Paakanzwa Jesu achitaura akatenda. Patinonzwa Jesu achitaura nesu nemavhesi eBhaibheri tinofanirawo kutenda.
Madhimoni emabhizimisi makuru mukereke
kuna Mateo, Jesu akapinda muTembere musi weSvondo yeMichindwi akadzinga vatungamiri vezvitendero vaitsinhana mari muTembere.
MATEO 21:8 Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguvo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
9 Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro
Vazhinji vakamutambira saMambo akapinda muTembere, muzinda wekunamatira, akatsamwiswa nezvaakaona. Ruchiva rwemakaro ekuda mari rwevatungamiri vemakereke vanoramba Shoko raMwari vachimupikisa.
MATEO 21:12 Zvino Jesu wakapinda mutembere, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva
Uyu waive musi weSvondo yeMichindwi.
(Evangeri raMarko rinotiudza kuti akadzoka kuTembere musi weMuvhuro, akatuka muvonde, akadzinga zvakare vatungamiri vezvitendero vaitsinhana mari muTembere).
MATEO 21:18 Mangwanani [Muvhuro magwanani] wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara
MATEO 21:19 Zvino, wakati achivona muvonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukawoma pakarepo
MATEO 21:20 Vadzidzi vakati vachizvivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde waoma pakarepo seiko!
Chero chinhu chinotukwa naJesu, chinooma.
Marko akatsanangurawo pamusoro peSvondo yeMichindwi.
MARKO 11:7 Zvino vakavuya nemhuru yembongoro kunaJesu;vakakandira nguvo dzavo pamusoro payo; akagara pamusoro payo.
8 Vazhinji vakawarira nguvo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema kubundo
MARKO 11:11 Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema mutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Betania navanegumi navaviri.
12 Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya;
13 Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaenda’ko, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.
14 Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa
Jesu akatuka muvonde (mucherechedzo waIsraeri) munzira make kuenda kuTembere musi weMuvhuro mangwanani.
MARKO 11:15 Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva
16 Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere
Zvakare, Jesu akakandira vaitsinhanha mari kunze kweTembere.
Kutukwa kwemuti wemuvonde kunotyisa. Ndicho chega chishamiso chakaitwa naJesu chakaparadza chinhu.
Asi tarirai nguva yaakazviita.
Jesu akatuka muti wemuvonde pakati pezviitiko zviviri zvepaakakandira vaitsinhana mari muTembere.
Chakatsamwisa Jesu chaive chekuziva kuti mweya waantikristu wakaipa wekuita mari nechitendero waizotonga makereke zvakare.
Kutuka kweChisimbiso chechitatu aive madhimoni emabhizimisi makuru aizotengesa Shoko raMwari.
Mweya waantikristu uri pabhiza dema remadhimoni waitengesa gorosi nebaari zveChingwa cheHupenyu nedenari. Uyu waive muripo wepazuva pamufananidzo wevashandi veawa rechigumi nerimwe.
ZVAKAZARURWA 6:5 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake
6 Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedenari, nezviyero zvitatu zvebhari nedenari; usatadzira mafuta newaini.
Makaro emari aya apo Shoko raMwari rakatengeswa aizoparadza kereke yechishanu neyechitanhatu mumashure meRumutsiridzo, zvinotsanangurwa neChisimbiso chechitatu. Ndizvo zvichange zvichitaurwawo zvakanyanya nenguva yekereke yechinomwe, “Ndakapfuma”.
Kudzikisirwa kwenguva nhatu dzekupedzisira dzemakereke nemweya waantikristu wekuda mari ari kufanira kunge ari kudzokera kuchokwani anozokonzeresa Ishe kuti vatsamwe zvakanyanya.
Saka, paakaona mweya waantikristu wekukarira mari uyu muTembere, akavatsamwira zvikuru.
Jesu anopokana kwazvo nekutengeswa kwechokwadi chemuBhaibheri. Kuita mari nechitendero.
“Kana ukasandipa mari handikuudzi chokwadi” ndiko kuparidza kuri pachivhiti vhiti kwemazuvano.
Nei Jesu akatuka muti wemuonde?
MARKO 11:12 Fume mangwana vakati vachibva Betania, akaziya
Aya aive mangwanani emusi weMuvhuro. Jesu aive ambopembererwa zuva raive radarika racho, musi weSvondo yeMichindwi, saMambo wemaJuda zvakazadzisa zvakaprofitwa.
Aida kubudirira kwazvo. MaJuda aive amutambira zuva raive radarika akanga adzinga vaiita mari muTembere.
Aive mavambo makuru, dai zvinhu zvakaramba zvichienda nemurongo iwoyo.
Dai maJuda akaramba achimugamuchira, pakupera kwehushumiri hwake kwemakore manomwe (makore matatu nehafu aizouya) aizova Mambo wepasi rese muMereniyamu kana kuti makore 1000 erugare maJuda aizova rudzi rukuru kubva marwuri ndimo maaizotonga nyika ari.
Asi Jesu aive aisa bhizimisi revatungamiri vechiJuda rekuita mari muTembere panjodzi. Zvaisaregerereka. Vaida kuti afe. Vatungamiri vemakereke vanobatira vanhu nekuda kwemari. Nguva hadzina kushanduka.
Saka, vatungamiri vezvitendero vaizosimudza maJuda aive agamuchira Jesu voita kuti vamurambe nekuramba kudanwa kwezuva ravo.
Nhasi wanga uri Muvhuro. Vaizokurudzira maJuda kuti amuvuraye musi weChina.
Ndiko kuita kwekurudziro nekuipa kwesimba revatungamiri vezvitendero ravanaro pamusoro pevanhu.
Ndiko kudzungaira kwevanhu vanotamba njuga nemweya yavo vanotamba mutambo wekuti ayi-foro-mai-ridha. Yaive nyaya yekutevera pasita kunoparadzwa.
Pachinzvimbo chekuva vatungamiri vepasi rese munguva yemakore matatu nehafu, vaizova nekuparadzwa mumashure memakore 38 mugore AD 70. Nguva imwechete maJuda paaitenderera murenje akafa mumashure mekuramba kuterera Joshua naKerebu vaive vavaudza kuti vapinde vanotore Nyika yeChipikirwa. Asi vakateerera vazhinji vevasori vakatenda kusatenda kwavo. Vanhu vemakereke vanogaroda kuti vatungamiri vemakereke vavaudze kuti votenda mune zvipi. Vatungamiri vemakereke vanoramba vachikanganisa nekuti havagoni kutsigira zvavanotenda neBhaibheri.
Vachinyengerwa nevatungamiri vavo, nguva yavo haina kusvika.
Makore 2000 aizotevera nguva avo aizokwana mukurwadza kwakazara kwenguva yeKutambudzika kukuru apo Mosesi naErija vachada makore matatu nehafu kuti vatungamirire maJuda kunogamuchira Mambo wavakaramba. Kutyisa kwenguva yeKutambudzika kukuru kuchavaratidza kuti vaive vakarasika zvakaita sei uye kuti vatungamiri vezvitendero zvavo havabatsiri zvakadii.
Asi muonde uyu waimiririra chimiro chinosuwisa cherudzi rwemaJuda panguva iyoyo.
MARKO 11:13 Zvino wakati achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaenda’ko, achiti, zvimwe ungawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamavonde
Jesu aive pakati pemaJuda kwemakore matatu nehafu.
Aive atoudza vadzidzi vake kuti vasaende kuvaHedeni nekuvaSamaria.
MATEO 10:5 Ava vanegumi navaviri Jesu akavatuma akavaraira achiti, musaenda munzira yavahedheni, musapinda muguta ravaSamaria.
6 Asi zvirinani muende kumakwai akarasika eimba yavaIsraeri
Aive achiona hake muti uyu kwemakore matatu nehafu yaive nguva yakareba zvakafanira kuti utange kubereka zvibereko. Muti waive mucherechedzo werudzi rwemaJuda. SaAdamu, muti waive mucherechedzo werudzi rwemaJuda rwaive nemashizha echitendero chekunyengera nekuti waisabereka, wairatidzira zvenhema.
Tembere yavo tsvene yaive nzvimbo yekuitira mari.
Chiprista chavo chaive chakazadzwa nerudo rwezvinzvimbo zvavo zvesimba, kwete kuparidza chokwadi.
Hamugoni kudya mashizha. Mitemo inoitwa nevanhu netsika dzavo hadzina wadzinoponesa.
Ruzhinji rwemaJuda rwakagamuchira Jesu musi weSvondo yeMichindwi vakazodanidzira kukumbira kufa kwake musi weChina. Vaive vanhu vaive vasina hushingi hwekuzvimiririra vega. Vaingotevera musoro vachidya guruva, sezvinoita mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka.
“Nguva yemavonde yaive isati yasvika”. Zvisinei nekumudaidza kuti Mambo musi weSvondo maJuda akada kwazvo kuterera vakuru vezvitendero zvavo, kwete Messiasi wavo.
Sekereke yanhasi inoterera munhu mumwechete anotungamirira kereke nezvaanotaura, kwete zvinotaurwa neBhaibheri.
Mumoyo mavo maJuda vaiti Jesu ndiye Messiasi. Aive munhu airemekedzeka kwazvo kuti angove zvese zvese. Asi nehupenzi vakaterera kuhudzvanyiriri hwevatungamiri vezvitendero zvavo vaida kwazvo simba nemari zvaienderana nezvinzvimbo zvekubata kwavo.
MaJuda haana kudzidza kuzvifungira pachavo. Saka, vakatora kuipa kwevatungamiri vavo vasina zvibereko zvavakabereka zvekutendeuka nekuti vaive nerudo kwazvo nekuzvitsvagira mari nenzira dzakaipa neruchiva rwavo neruvengo pamusoro paJesu akavakurira zvichitariswa mabasa aakaita. Dai Jesu akatambirwa saMessiasi maPrista emuTembere, vaFarise, nevaSeduse vaizorasikirwa nezvinzvimbo zvavo zvekutungamirira kereke (nemari dzavaiwana po). Saka, vatungamiri vakakonzeresa kuti vanhu varambe Messiasi.
Vakaita kuti vanhu varambe Jesu paakauya ari Munhu.
Nenzira imwe vatungamiri vemakereke vanokonzeresa vanhu kuti varambe Bhaibheri reKing James Vhezheni (KJV) seIzwi raMwari. Vanoramba Bhaibheri reKing James kuti rine zvakakanganiswa mariri uye vachiti sandiro Mukuru wedu.
63 – 1226 HURONGWA HWEKEREKE
Nekuti munowana varume vaviri, mune sarudzo mbiri. Zvinofanira kusvika pamukuru mumwechete, ini mukuru wangu iShoko, Bhaibheri.
Vanoramba Bhaibheri reKing James Vhezheni kuti harisi Izwi raMwari.
63-0630 (EKSODO) RWENDO RWETATU
Nekuti vanonzwa Shoko raMwari, richidana, kupfurikidza Shoko rake.
... tererai Bhaibheri, Izwi raMwari riri kudana kwamuri nhasi uno.
Chero makereke emharidzo nhasi vanoti mune zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James. Ndiko kuipa kwekurudziro dzevatungamiri vemakereke vanhasi.
Hatione Jesu ari Munhu mumazuva edu. Tinomuona ari Shoko raMwari.
Chero chamataura nezveBhaibheri reKing James Vhezheni, munenge muchitaura nezvaJesu. Mukawana zvakaipa muBhaibheri reKing James munenge mawana zvakaipa pana Jesu. Hazvishamisi kuti nei Jesu amire kunze kwekereke.
Asi ndiMambo anoda kunamatwa muChokwadi chemuBhaibheri.
Chinangwa chaSatani chikuru ndechekuita kuti tinamate Mwari nenzira dzisimo muMagwaro. Kana tikangopesana neBhaibheri nechero nzira, Satani anofara.
Saka, Jesu anodzoka kuzotsvaga kutenda kwechokwadi kwekutevera Bhaibheri.
RUKA 18:8 ... Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here
Kutenda kwega kuri kutsvagwa naJesu vanhu vanotevera Magwaro zvakazara mune zvavanotenda mazviri.
VAROMA 10:17 Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari
MARKO 11:14 Akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu, unozodya zvibereko pauri nokusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa
Muti wemuvonde wakapihwa murango werufu mucherechedzo wegore AD 70 wekuparadzwa kweTembere neJerusarema zvichiparadzwa neRoma yemapegani.
MARKO 11:15 Vakasvika Jerusarema; akapinda mutembere, akatanga kubudisa vaitengesa, navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva
Jesu akadzokorora zvaakaita musi weSvondo yeMichindwi akarova nekudzinga vaitsinhana mari muTembere. (Makamboona here kuti Mufundisi anenge ane imba yakanakisa pakati peboka rese?).
MARKO 11:16 Akasatendera munhu kuti atakure nhumbi mutembere.
Zvino Jesu akaita mitemo yakaoma kutevera kudarika zvaakaita zuva raive radarika reSvondo yeMichindwi. Hakuna aikwanisa kutakura chinhu achipinda muTembere. Izvi zvakamisa mabhizimisi ose nekuti maisakwanisa kutakura chinhu chine zvinhu zvekutengesa.
Vatungamiri vemuTembere vakatarisa mari dzavo dzichinyangarika nekuti vaiwana chikamu pazvinhu zvese zvaitengeserwa muTembere. Kutya kwakashanduka kukava kutsamwa. Izvi zvaifanira kumiswa. Rangarirai kutsamwa kunoitika kana mukaisa mari dzevatungamiri vemakereke panjodzi). Zuva iroro raive muvhuro vaizomuvuraya musi weChina.
Yambiro kuvanhu vese. Mukakanganisa mari dzevatungamiri vemakereke munopinda mudambudziko guru.
MARKO 11:17 Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imi makaiita bako ramakororo
Jesu aiti, “pachinzvimbo chekutsotsa vanhu kutora mari dzavo, tangai kukoshesa kunamata nekubatira Mwari”.
Jesu akabvisa mabasa avo ese ehuwori ekudisa mari kudaira kwavo kwaive kuda kuvauraya.
Ndipo vatungamiri vemaJuda vakadarikira mutsetse.
Vakaita zvakawanda zvakaipa. Asi zvino zvinhu zvakanga zvatoipisisa nekuti chido chavo chikuru chaive chekuparadza chokwadi.
Mapasita emakereke, mabhishopu, makadhinari, nemapope anoita kukanganisa kumwechete uku pavanosimudzira kuti vave misoro yemakereke vobvisa chero dzidziso dzemuBhaibheri dzevanhu vanopikisa kusimudzirwa kwevanhu uku. Hakuna pasita, bhishopu, kadhinari kana Pope akamboiswa pakutonga kereke muTestamente Itsva.
MARKO 11:18 VaPirisita vakuru navanyori vakati vachizvinzwa, vakatsvaka pavangamuvuraya napo; nokuti vakanga vachimutya, nokuti vazhinji vose vakashamiswa nokudzidzisa kwake
Vatungamiri vezvitendero havana kugona kugamuchira kurasikirwa nemari dzavo.
Vanhu vaifadzwa kwazvo Naye vakamudaidza kuti Muprofita.
Uyu waive musi weMuvhuro vanhu vaive vamutambira saMambo musi weSvondo yeMichindwi vaive vachiri kurutivi rwake.
Vakuru vakange vari nemusi weChipiri neChitatu kuti vashandure zvinhu kuti vamuvuraye musi weChina.
MARKO 11:19 Zvino, nguva dzose kana ava madekwana, aienda kunze kweguta
Chipiri mangwanani muti wemuonde waive waoma. Pamweya maJuda aive afa serudzi. Makore makumi matatu nemasere aizotevera vaizofa nekuparadzwa serudzi apo Roma yaizomukira Jerusarema muna AD 70.
MARKO 11:20 Vakati vachipfuvura napo mangwanani, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi
Taona kuti muti wemuonde waimiririra maropafadzo, hutano, nekuchengetedzeka apo munhu mumwe nemumwe aigara pasi pemuti wake, seimwe miti mizhinji yemichero, inononoka kukura. Inotora makore mazhinji kuti ikure, ibereke michero, igotora nguva yakatorebesa kuti ipe mumvuri. Makore matatu kusvika kumashanu.
Kana muvonde wako uchipedzera simba zhinji kumabazi nekukudza mashizha chete, pachinzvimbo chekubereka michero, tarisa uone mapazi matsva anomera- anozova nekushandika nawo kuri nani kudarika akakura kare – kana wamaona tema kumapeto kwawo. Kuukanganisa uku kunoita kuti uukurudzire kubereka zvibereko zvemichero, pachinzvimbo.
Vatungamiri vezvitendero mumazuva aJesu vaisafadzwa nezvibereko zveMweya zvakaita serudo, mufaro nerugare. Vaidisa kwazvo kupfuma nekubvisa chero hupikisi hwaivepo hwaigona kunongedzera zvavaikanganisa. Saka Jesu, musi weSvondo, nezuva rakatevera raive Muvhuro akagura vaiti vemari muchitendero kumuromo kwavo (kubvisa mari dzavo) kuti vamire kumhanyisana nekuita mari akasimbirira pane zvainyorwa nemaprofita kuti vazive Messiasi wavo. Vairipisa vanhu mari zhinji kwazvo pakutenga zvipiriso zvavo vachiona mari iyoyo semuripo wekubata kwavaiita muTembere.
Kana ukamira kuita mari muchitendero unoshaiwa tsitsi wotsamwira vanopokana newe, zvibereko zveMweya zvinowana mukana wekuratidzirwa.
Kana zvinhu zvikakanganisika vanhuwo zvavo ndivo vanofa
Zvino Jesu anopa yambiro yakadzama inotyisa.
Kana zvinhu zvikakanganisika, kazhinji vanhuwo zvavo vasiri vatadzi vakuru ndivo vanofa.
RUKA 13:1 Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuvudza shoko ravaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.
Pontiasi Pirato akauraya maJuda zvakanyanya pavaitanga musindo. MaJuda aitanga musindo asi aive asina simba pamusoro pezvaizovawira mberi.
RUKA 13:2 Jesu akapindura, akati kwavari: Munoti vaGarirea avo vakanga vari vatadzi here kupfuvura vaGarirea vose, zvavakatambudzika saizvozvo?
MaJuda vakavurawa vaive vasivo maJuda akaipisisa, kana kuti vavambi vematambudziko. MaRoma pavaitanga kuuraya vaitanga musindo ava vaive vakagarwa nemweya wehumhondi waiuraya chero munhu aive panzvimbo ipapo. Ndirwo rwaive ruvengo rwaive nemaRoma echipegani kuvaJuda.
RUKA 13:3 Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemi mose muchaparara saizvozvo
MaJuda aifanira kudzidza kuti kana vachishanda naMwari chavaifanira kuita chete kutendeuka. Kana vakatanga musindo nechero nzira, vaizoparara.
RUKA 13:4 Kana vaya vanegumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavavuraya, munoti vakanga vanemhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusarema here
Kune zvimwe zviitiko zvisina kukonzereswa nekuda. Chivakwa chakakanganisa kuvakwa chikawira pasi chinokuvadza chero munhu anenge ari pachiri nguva iyoyo. Izvi zvinomiririra chatinodaidza isu vanhu kuti “rombo rakaipa” kana kuti “munyama”. Chinhu chinongokanganisika pasina chikonzero. Hatina simba pamusoro pezviitiko zvakadaro asi hazvimisi kuti zvikanganise hupenyu hwedu.
RUKA 13:5 Ndinokuvudzai: Kwete; asi kana musingatendevuki, nemivo muchaparara saizvozvo
Saka Jesu anotiyambira kuti zvinhu zvisina kutarisirwa zvichaitika. Saka, tinofanira kudisa kwazvo kutendeuka nekuti chero nguva tinokwanisa kutsvairwa zvisina kutarisirwa nezviitiko zvinotiwira takavarairwa. Ngarava yeTitanic yaifanira kusanyura asi yakazorova dombo rechando raisaonekwa.
Jesu akabva atanga kuvayambira pamusoro pematambudziko akaipa aive asingatarisirwi aizorova maJuda mugore 70 AD apo vavengi vavo vavaivenga, maRoma, vaizoparadza Tembere nevanhurume vanodarika miriyoni, nevakadzi nevana.
RUKA 13:6 Zvino wakataura mufananidzo uyu; Mumwe munhu wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akavuya achitsvaka zvibereko kwauri, akashaiwa.
Jesu ari kutaura nemaJuda.
Saka, muti wemuvonde mucherechedzo weIsraeri.
Muzambiringa unotaura pamusoro pewaini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro. Saka Mwari aitarisira Israeri kuti izive kuti kune chokwadi cheMweya chakadzama nezviitiko zvakabatanidzwa nesarudzo Yake serudzi rwake.
Mwari akazarura Gungwa dzvuku akatuka Egipita nehosha gumi. Akapa mana nemvura yaibuda paibwe kuvaIsraeri murenje. Mwari akatendera Sairasi muPesia kuvadzosera kubva muhutapwa kuBabironi. Nhorondo yemaJuda yaive yakazadzwa nekupindira kweMweya unoshamisa waibatira maJuda. Vaive mumunda wemazambiringa waive nechirevo chemweya chakadzama munguva dzeTestamente Itsva.
RUKA 13:7 Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, ndavuya makore matatu ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?
Vatungamiri vechitendero chechiJuda vaiparidza vakadzidzisa kuti vanatse munda wemazambiringa.
Vaive vaona kuti Jesu aparidza akadzidzisa. Akarapa varwere, akadzinga madhimoni, akamutsa vakafa. Akaita zvishamiso zvakawandisa zvaisagoneka panyama. Meso emaJuda aifanira kuvhurika. Akazadzisa zviprofita zvizhinji zvaisanganisira Messiasi.
Jesu aive apedza makore matatu ehushumiri hwake aive achiri kutsvaga achishaya michero yakanaka murudzi rwemaJuda. Akazosarudza kutema muti wemuvonde. Serudzi, maJuda akakundikana zvakaipa.“
“Kutadzira” zvinoreva kuti chikoneso kana kuti chipingaidzo chinenge chiri mutoro kana chinyadziso chinokonzeresa kusamira zvakanaka kwezvinhu nekushushikana.
Aya ndiwo aive maonero aJesu kana takatarira rudzi rwemaJuda. Chaive chibereko chekusatenda nekutadza chaive chadzidziswa vanhu nevatungamiri vechiJuda. Jesu aizotaura kutii pamusoro pevatungamiri vezvitendero zvedu? Wanano dzevanhu varume nevarume vakadzi nevakadzi, kodzero dzengochani, kubvisa mimba, kurambana nekuroranazve, nezvimwe zvakadaro.
Vatungamiri vezvitendero vane makaro vaingove zvipingaidzo zvaizomisa maJuda aive akazadzwa nerudo rwezvematongerwo enyika kuti vasaone Messiasi. Zvakadaro, maJuda aive chinyangadzo apo ruvengo rwavo rwezvematongerwo enyika pamusoro peRoma rwakavaita kuti vatadze kuziva Messiasi wavo akarehwa.
RUKA 13:8 Akapindura, akati kwaari: Ishe, muregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze
Kwaive nechikumbiro chikuru chegore rimwechete pamusoro peawaive nawo. Muti wemuvonde waizova nezvibereko mumashure memakore matatu. Paive pasina chaivepo asi nekuvimba, gore rechina raizotendera kuti michero iberekwe. Kana maJuda akarega kugashira Messiasi mugore rechina iri, vaizofanira kuparadzwa.
RUKA 13:9 kana ukazobereka zvibereko, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu
Jesu akaita hushumiri hwemakore matatu nehafu.
Saka, maJuda akaramba Jesu mugore rechina. MaJuda akakundikana semuti.
Vakatadza kubereka zvibereko zvemweya nekuramba kwavakaita Messiasi.
Saka vakatukwa kuti vatemerwe pasi nemaRoma. Izvi zvaizoitika muna AD 70.
Miti iyi yese yakava marudzi akazvimiririra mumashure meHondo yePasi rese yechipiri.
RUKA 21:29 Zvino akavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muvonde nemiti yose
Muti wemuonde unomiririra Israeri nemimwe miti yese kana marudzi akatsvaga kuzvitonga kuzere mumashure meHondo yepasi rese yechipiri apo nyika dzeEurope dzakapererwa nemari nekuda kwezvikwereti zvemuhondo nezvinhu zvakakuvadzwa muhondo. Saka, vakaneteswa zvakanyanya vakatadza kubata nyika dzavakapamba nechisimba kwenguva refu. Nekukurira England muMalaya, maJapani vaive varatidza kuti masimba eEurope anokwanisa kukurirwa.
Muwonde (Israeri) neimwe miti yose. India nePakisitani dzakawanawo kuzvitonga kuzere muna 1947. Nyika dzemuAfrica dzikawanawo kuzvitonga kuzere.
Muwonde ndiwo Israeri ichitsvaga kuzvitonga kuzere senyika yakazvimiririra. Izvi zvakatanga nemubatanidzwa wenyika dzepasi rese (UN) muna 1947 zvikazopera muna 1982 pavakabuda kubva mumarenje eSinai muna 1973 pahondo neEgipita.
Munguva iyoyo, tinogona kuti Israeri yakava nyika yakazvimiririra.
Asi Mwari akataura rini kuti Israeri yava nyika? Hatizivi.
Mukati memakore 35 nyika dzese dzemuAfrica dzakakwanisawo kuzviwanira kuzvitonga kuzere.
Dova remarudzi anozvitonga akazvimiririra raive rasvika.
RUKA 21:30 kana yotunga, mukazvivona, munoziva mumene, kuti zvino zhezha rava pedo.
“Yo” (yotunga). Marudzi mazhinji.
Nyika dzaive dzakatapwa nenyika dzekuEurope dzakakwanisa kuzviwanira kuzvitonga kuzere mumashure mehondo yepasi rese yechipiri nekuti nyika dzekuEurope dzakanga dzaneteswa nehondo dzisisagoni kubatira panyika dzadzaitapa.
India nePakisitani dzakawana kuzvitonga kuzere muna 1947.
Israeri yakatanga kurwira nyika yayo yechipikirwa muna 1947 iine kachidimbu kaduku. Muna 1967 vakawana chidimbu chikuru chenyika yechipikirwa asi vakatorawo renje reSinai (risina kubvira rapihwa kuna Abrahama naMwari) vakaridzosera kuEgipita muna 1982.
Saka, Israeri yakazodzokera muNyika yeChipikirwa muna 1982.
Britain, France, Belgium, nePortugal dzese dzakarasikirwa nenyika dzadzaive dzakatapa muAfrica.
Pakati pegore 1951 (Libya) muna 1980 (Zimbabwe) nyika dzinosvika 54 muAfrica dzakawana kuzvitonga kuzere Ghana yakawana kuzvitonga muna 1957.
RUKA 21:31 Saizvozvo, nemi vo, kana movona izvozvi zvoitwa, zivai kuti vushe bwaMwari hwava pedo.
Kuzvitonga kuzere uku kwakaitika zvinoshamisa mumakore 35 chaive chiratidzo chenguva dzekuguma.
RUKA 21:32 Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika
“Rudzi” kutaura kwakati omei kwekuti vanhu vanokuturikira nenzira dzakasiyana.
Jesu akati hatingazivi kuti anodzoka rini saka hatifaniri kuedza kuisa nguva pahurefu hwenguva kana kutara mavambo pachiprofita chake.
Dai Israeri yaive mumiganhu mayo mumusha mayo muna 1982, vanhu vakaberekwa munana 1980 vaizorarama kuti vaone Ishe achidzoka.
Nenzira imwechete, Jesu Jesu anokwanisa kudzoka nekukasika, hatingozivi chete . Anogona kuuya mune chero gore mumakore anotevera. Asi tinofanira kugara takagadzirira nguva dzese.
Makaponeswa here? Makatendeuka here mukagamuchira Jesu saIshe naMuponesi wenyu?
Asi pane chimwe chinhu chinogona kuomesa zvinhu.
63- 06 CHIEDZA CHITSUKU CHINOPFUTA CHECHIRATIDZO CHEKUUYA KWAKE
Kana mukaona muvonde, nemimwe miti yose ichitunga,” MaJuda achidzokera. “Muti wemuvonde,” maJuda achidzokera mumusha mawo, munyika mavo.
Ichi chimwe chinhu chinogona kuomesa zvinhu. Mwari anoda kuti maJuda adzoke kuIsraeri asi tingangoti hafu yavo ndivo vakadzokerako. Saka izvi zvinoita kuti zvinetse kufungidzira nguva.
Mwari vanoshanda nemaJuda vadzoka mumusha mavo mumiganhu yavakatarirwa naMwari here?
Kana kuti anopima kubva paanoona kuti kwaane maJuda akakwana akadzoka munyika yechipikirwa? Hatina nzira yekuziva nayo.
Asi chiratidzo chehama Branham chechitanhatu chemukadzi achitonga America chiri kutanga kuenda panzvimbo apo Kamala Harris akasarudzwa kuva Mutevedzeri weMutungamiri wenyika muna 2020.
Ichocho chiratizo chekuguma kwenguva.
MARKO 13:27 Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga
Aya ndiwo maJuda mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru. Vatumwa (muhuwandu) ndivo nhume Mosesi naHerija vanounganidza vanhu vakazvarwa patsva muchadenga maJuda 144,000 kubva mumakona mana enyika munguva dzeKutambudzika kukuru.
Hwamanda nomwe dzinoshamisa dzemuBhuku raZvakazarurwa dzinoreva mukati memakore matatu nehafu ekutambudzika kukuru kuti dzidzosere maJuda asara muIsraeri, kudzokera muNyika yawo yechipikirwa.
MARKO 13:28 Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedo:
Danho rekutangira rinozivisa kuti nguva dzekupedzisira dzekuTambudzika kukuru dzakuda kutanga ndipo pachatanga muti wemuonde kutunga kudzokera kuita rudzi rwakazvimiririra muNyika yeChipikirwa.
Davi nyoro inyika duku pamakore.
Israeri yakakwana mumiganhu yekutanga yeNyika yeChipikirwa kubva muna 1982 pavakadzosera marenje eSinai. Makore anoda kuita 40 chete adarika.
Mutungamiri wenyika Trump akaona Jerusarema seguta guru reIsraeri muna 2018 zvakaisa Israeri pamepu senyika yakazvimiririra. Saka, maJuda ave mumusha mawo saka, chero nguva, Mwari vanokwanisa kutora Mwenga wavo kukwira kudenga vodzokera kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru.
MARKO 13:29 Saizvozvo imi vo, kana movona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti vava pedo pamukova.
MARKO 13:30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika
Nguva iri kupera.
Mhepo dzenguva yeKutambudzika dzinouraya zvikamu zviviri pazvikamu zvitatu zvemaJuda
ZVAKAZARURWA 6:12 Zvino ndakavona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, tarira kwakanga kunokudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa
Chisimbiso chechitanhatu chinobata makore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.
“Kudengenyeka kwenyika kukuru”. Kudengenyeka kwenyika kukuru kwakafanotaurwa kuchaitika apo Los Angeles ichawira mugungwa. Izvi zvichakonzeresa kuzunzwa munezvemari pamisika yepasi rese.
Hapana chichazunza maJuda anhasi sekuisa mari yawo panjodzi.
Rangarirai kuti vatungamiri vechiJuda vakaita sei Jesu paakaisa panjodzi kuita kwavaiita mari muTembere.
ZVAKAZARURWA 6:13 Nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuvonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru
Mawonde anozunzwa kubva mumuonde nemhepo huru (mucherechedzo wehondo nematambudziko) yemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru. Zvikamu zviviri kubva muzvikamu zvitatu zvemaJuda zvichauraiwa munguva dzakaipa idzi.
Israeri ichava semuonde uchidonhedza zvikamu zviviri muzvikamu zvitatu zvemawonde awo.
ZEKARIA 13:8 Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura JEHOVA migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
Asi chikamu chimwe chevanorarama vezvikamu zvitatu zvemaJuda chichaziva simba raJesu rinoshamisa.
ZEKARIA 13:9 Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, `Ndivo vanhu vangu,' ivo vachati, `JEHOVA ndiMwari wangu.
MaJuda anogara pasi pemuonde wawo muMereniyamu
vachava maJuda achagara pasi pemuonde wawo muMereniyamu kana vagadzwa munzvimbo dzemarudzi avo muNyika yeChipikirwa.
ZEKARIA 3:10 Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomuzambiringa napasi pomuonde.
Munhu wese muvakidzani wako. Nguva yerugare nebudiriro.
Muonde unoita kuti maJuda ave rudzi rukuru muMereniyamu.
Muzambiringa unotipa waini semucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro. Mereniyamu ndiko kuzadziswa kweMweya kwezuva rekutanga rechinomwe iro Adamu, mwanakomana waMwari, nemwenga wake ravakashaisha.
Mukati memakore 1000, Jesu Mwanakomana waDavidi, anotonga neMwenga wake kereke inotevera Magwaro inoterera Bhaibheri apo mamwe makereke ese anotevera vanhu vanotungamirira nemifungo yavo.
MIKA 4:2 Marudzi mazhinji achaenda, achiti, `Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZiyoni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusaremu shoko raJehovha.
MaJuda achatonga nyika.
3 Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti, rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.
Mereniyamu ichave nguva yerugare, kwete hondo.
4 Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo
Israeri yakamiririrwa nemuonde nemuzambiringa. Israeri ichava rudzi rukuru muMereniyamu.
Budiriro nekuchengetedzeka. Kuchange kusina kutya kutsikirirwa.
Munhu mumwe nemumwe anenge aine chidimbu chake chepfuma. Muonde wake wekuti awane chekudya.
Muzambiringa unopa waini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro.
Hazvisingori zvatinowana panyama, zvichange zviri zvizhinji.
Izaruriro iyo munhu mumwe nemumwe achave chikamu cheZano guru raMwari saka Mereniyamu inguva yegadziriro nekudzidziswa kuitira ramangwana.
Mwenga achatonga nyika mukuita izvi anodzidza kuti anotonga sei nyaya dzavanoita makore 1000 vachidzidza kutonga vanhu, zvavachazoita zuva rekutongwa.
I VAKORINTE 6:2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?
Ugere pasi pemuonde wako zvinoratidza rusununguko rwevanhu vasiri pasi pehuranda kumapato akaitwa nevanhu.
64- 0320 MWARI ANOZVIZIVISA NEHUNHU HWAKE
... Asi tichave mashizha akanaka kudarika vanhu vari mberi vanogona kuzogara pasi pemuti wemumvuri wedu vowana zororo kumweya yavo.
Muti unoburitsa mashizha edu, haumaunzi mukati.
62-0422 KUZORERWA KWEMUTI WEMWENGA
Asi Bhaibheri rinoti tichazoda “kuungana pamwechete munzvimbo dzedenga”. Oh, mai! Chii? Zvese zvakafanana. Nei, ndichakuudzai kuti izvi zvichadii. Zvichaita ... zvichaita hovhorosi nesutu yetokisidho vombundirana vodaidzana kuti hama. Chokwadi zvichaitika. Zvichatora rokwe sharu rekariko kuti vaise maoko avo murokwe resirika, neresatini voti, “Hanzvadzi, mamuka sei nhasi? Mwari ngaakudzwe!” Ndizvozvo chaizvo. Zvichadaro. Ndiwo mufaro, rugare, nerudo, kutenda muShoko, kutsungirira, nehunyoro, nemoyo murefu. Vagere munzvimbo dzedenga muna Jesu Kristu, vozorora zvishoma. Mazviona? Ndizvo zvakaitwa nemashizha.
Zviitiko zvenguva yekupedzisira zvakarema zvinoshamisa zvichakanganisa vazhinji kuti vasaone nzira dzezvakavanzika zveBhaibheri zvinoshamisa zvinoitika mumazuva iwayo anorwadza uye akadukupiswa. Nhengo dzeMwenga chete, vanotevera Magwaro zvakazara vachatsaura zviratidzo zvechokwadi kana mharidzo kubva kuruzha runokanganisa rwemaonero evanhu ane mbiri.
Vanhu vakazvimiririra voga vanokasika kudzidza nzira nemakwara anodzikisirwa neruzhinji rwemakereke, uko vanhu vanoita sevanozviringa pazvivoni voni vachizvirumbidza. Vanokanganwa kuti mbiri ingori chiutsi chinonyangarika. Chiutsi nechivoni-voni micherechedzo yehunyengeri hwakachenjera. Chokwadi chinofukidzirwa nekuvanzwa muruzhinji.
Kurudziro yemaGiriki yaibva panheyo dzekuzvikudza nerudo rukuru rwemakwikwi ekuva vari nani kudarika vamwe vanhu vose.
Kana tikamutendera, Mwari anokwanisa kutishandura kuti mumwe nemumwe wedu akwane munzvimbo yakanaka yaakasarudza akaiisa parutivi kuti tive muTabernakeri yake yeMweya yeKudenga.
Asi ndiMambo anoda kunamatwa muChokwadi cheBhaibheri.
Chinangwa chikuru chaSatani ndechekuita kuti tinamate Mwari nenzira dzisimo muMagwaro.
Kana tikaramba tichipesana neBhaibheri, Satani anenge achifara. Saka Jesu anodzoka achitsvaga kutenda kwemuBhaibheri.
RUKA 18:8 Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?
Jesu ari kutsvaga vaya vanotenda chete zvakanyorwa muBhaibheri.
Zvakaipa zvinoratidzirwa nekusanganiswa kwazvo nekupararira nekukasika, uye zvakaipa zvinosvika pakukurisa kwazvo kana zvikasimudzirwa nekuratidzira zvakanaka.
Ndicho chikonzero nei vanaantikristu vazhinji vakagara vachitsvaga kusvibisa kereke, sezvavakakwanisa kusvibisa Tembere yechiJuda.
65- 0725 CHII CHINOKWEZVA MESO PAMUSORO PEGOMO
Pamusoro pegomo remiorivhi panouya kambongoro, kaduku, kachiburuka gomo, neboka revanhu vachidanidzira, vachitemha mashizha emichindwi kubva mumiti, vachikandira nguvo dzavo mumugwagwa, vachidanidzira, “Hosanna kuMwanakomana waDavidi anouya muZita raShe!” Uyo ... kambongoro kaduku aka, aive akakataswa aive Messiasi Akazodzwa wenguva iyoyo.
Vaishandisa mashizha nenzira imwe inoshandiswa kapeti tsvuku nevanhu kugamuchira munhu akakosha. Jesu akazvininipisa pambongoro nemwana wayo saka vanhu vakashandisa mashizha kuti vanhu varinge kwaari.
Havana kushandisa mashizha emichindwi kuvanza zvivi zvavo.
Vakakandira pasi mashizha mumugwagwa umo mashizha aive asina chaaikwanisa kuviga. Asi kukandira mashizha pasi vakaisa kukosha kwese pana Jesu.
Vanhu vanoda mutungamiri uye mutungamiri mumwechete wechokwadi muzuva redu ndiro Shoko raMwari.
Vakakandira mashizha mumugwagwa kuti mbongoro mbiri dzakazvininipisa dzifambe.
Mabasa edu akanaka akafanira kutsikirirwa. Tiri varanda pasina.
RUKA 17:10 Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.
Mai vembongoro nemwana wayo zvakatakura Shoko, Jesu.
Kereke yekutanga yemapostora nevana vayo vanodzorerwa kumadzibaba naErija munguva yekupedzisira, ivo voga vachatakura kana kunzwisisa zvakavanzika zveShoko zvakadzama.