Mumashure memazuva 2300 Nzvimbo Tsvene Ichanatswa
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Abrahama aive nechivimbiso chemwanakomana wekubereka Isaka neMwanakomana weMweya Jesu.
Pakaita makore 2300 kubva pakuzvarwa kwaIsaka kusvika parufu rwaJesu.
DANIERI 8:14 Akati kwandiri: Kusvikira madekwana namagwanani anezvuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
Vhesi rekutanga reTestamente Itsva Jesu Mwanakomana waAbarahama wemweya.
MATEO 1:1 Mazita amadzitateguru aJusu Kristu Mwanakomana waDavidi, mwanakomana waAbarahama.
Nzvimbo tsvene yakanatswa muna AD 33 pakafa Jesu Kristu Mwanakomana wechipikirwa waAbarahama paCalvari akazomuka zvakare kuvakafa. Ropa raJesu chete ndiro rega rinogona kunatsa zvivi.
Chiprofita ichi chinotanga nekuzvarwa kwaIsaka, Mwanakomana waAbrahama wekubereka panyama.
Mwari akaita sungano naAbrahama pamusoro pevana vake.
Mwari akazadzisa sungano iyi murufu rwaJesu.
GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo JEHOVA akaita sungano naAbrahama, akati: vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvika kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi.
Mamwe mazera matatu aive muchiuno maAbrahama.
Achitaura pamusoro pemuzukuru waAbrahama Revi, Pauro akati:
VAHEBERU 7:10 Nokuti wakanga ari muchivuno chababa vake pakusongana kwaMrkisedeki naye.
Saka sungano yakaitwa yaireva Isaka Jakobo naJosefa (sevamiririri vevanakomana gumi nevaviri vaisanganisa Revi).
Asi izvi zvaive zvakanangana nerudzi rwevaJuda rwepanyama muNyika yechipikirwa Israeri.
Zvino sungano yaizozadziswa pachidanho chemweya chakadzama nekufa kuvigwa nekumuka kwaJesu, Mwanakomana waAbrahama weMweya.
Zvino sungano, yaive chipiko chaMwari, yaizoshanda kupasi rese.
VAGARATIA 3:17 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti: Sungano yakasimbiswa kare naMwari (muna Kristu) haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.
Kushanda nechivi pakutanga raive dambudziko kuna Mwari sezvo harizi Edeni rega rakakanganiswa asi zvisikwa zvese, uye rudzi rwevanhu rwakabva rwazadzwa nezvivi.
Tichiwedzera, Denga raidawo kunatswa sezvo Satani aive atanga muzvezve wake wakaipa, unonyangadza paaive pamusoro pevatumwa. Izvi zvaivepo asati atukwa ashandurwa kuitwa Diaborosi, dhimoni guru.
Hakuna ropa rakadeurwa Kudenga, saka hakuna ruponeso kuvatumwa vakanyengerwa naRusifa. Vakangoshandurwa kuitwa madhimoni kana kuti mweya izere zvivi.
Vatumwa vakarasika mweya izere zvivi. Nekuti hakuna ruponeso kumweya izere zvivi iyi, hakunawo ruponeso kumweya yevanhu vazere zvivi kana mweya, unodaidzwa kuti mudzimu, wabuda mumuviri parufu. Saka tinofanira kuponeswa tichiri vapenyu.
Kuita kwechivi chekutanga kwakaona Eva achitukwa nekuda kwekuita mimba nekuunza hupenyu hwaizofa panyika.
GENESISI 3:16 Kumukadzi akati: Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.
Mimba iyi yaive isina kubva kumurume wake nekuti chingadai chaive chisiri chivi.
Mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka yaive yakachenjera kudarika dzimwe mhuka dzese kana kuti yaive pamusoro padzo dzese (inodaidzwa kuti mammal muchirungu). Aive asiri nyoka (yaive mhuka yaitofamba) asi inodaidzwa kuti “yanano isipo” (“the missing Link”) pakati pemhuka nemunhu. Yaigona kutaura nekunzwisisana naEva. Hapana muBhaibheri pakabvira paitwa kuti mhuka itaure naSatani.
GENESISI 3:1 Zvino nyoka yakanga inamano kupfuvura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehova Mwari. Ikati kumukadzi: Nhai ndizvo here kuti Mwari wakati: Rega kudya miti yose yomunda?
Saka mhuka yepamusoro pedzimwe mhuka dzose, ichishandiswa nedhimoni guru (Satani) yakazivisa chivi panyika.
Ndicho chikonzero nei shungu chiri chinhu chinotyisa. Satani anoshandisa vanhu vepamusoro-soro. SaJudasi, mupostora naHerode aive mambo. Pontius Pirato aive mutongi. Chitendero, zvematongerwo enyika nemari zvakasanganiswa zvikabika chinhu chakaipa kwazvo chakauraya Ishe Jesu.
GENESISI 3:14 JEHOVA Mwari akati kunyoka: Zvawaita izvozvo, watukwa kudarika zvipfuwo zvose, nokupfuvura mhuka dzose dzesango, uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose ovupenyu bwako.
Mwari akabata mhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka nenzira yakafanana kwazvo neyaakabata nayo Rusifa. Mwari akatukwa mhuka yakazoshanduka kuita nyoka kuiita chipuka chepasi pasi, chinhu chinofamba nedumbu.
Pakaitwa shanduko yakazara pamarangwanda ayo. Ndicho chikonzero nei vesainzi vasiri kugona kuwana yavanoti “mising link” yanano isipo. Mhuka yakatukwa iyi yakabva yangoshaikwa pakurarama ikashandurwa ikaitwa nyoka.
Nyoka ine rurimi rwakaita sefoko (chiratidzo chechokwadi chinovodza chakasangana nenhema) nechefu mumuromo mayo mucherechedzo werufu pamweya runobva padzidziso dzenhema dzinoparidzwa.
Mhuka yakazotukwa ikashanduka kuita nyoka yakati kuna Eva, “”Meso enyu achasvinudzwa”. Saka Mwari akanyima nyoka zvivharo zvemeso pakatukwa mhuka iyoyo. Maziso enyoka anogara akangovhurika, asi akachengetedzwa nekanhu kasingaonekere.
Kufamba nedumbu. Dumbu redu mucherechedzo wezvido zvedu zvepabonde. Dumbu raEva raizozvimba pakubata mimba. Guvhu chiratidza chechikara pamiviri yedu. Rinoreva kuti tinofanira kufa. Mwari haana kubvira asika Adamu naEva vari nevanga reguvhu pamatumbu avo. Vaparidzi vazhinji vanhasi vanongofunga pamusoro pechekudya chavo, kwete chokwadi cheMagwaro. Mari ndiyo inowisa vaparidzi vazhinji sekuwisa kwayakaita mupostora Judasi.
Chinhu chinonyanya kutyisa “kudya guruva”. Uyu mucherechedzo chete, handizvo zvinoitika, sezvo nyoka dzichidya matatya nembeva. Vanhu vakaitwa neguruva. Saka kana tikafa tisina kuponeswa tinenge tava “chikafu chenyoka” sezvo muviri wenyoka wakareba uchimiririra gombo regehena ratinorasirwa.
Nyika yakarairwa ikatukwa kuti Adamu ashande adikitire ararame.
Adamu akabva kuguruva. Saka Mwari akatuka guruva raakabva. Guruva rimwechete iroro ndiro rakanzi mucherechedzo wechinodyiwa nemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka. Saka rudzi rwevanhu rwakatukwa kuti ruende gehena kunze kwekunge Mwari vapindira.
GENESISI 3:17 Kumunhu akati: zvawaterera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti: Usaudya; Zvino nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose ovupenyu bwako.
GENESISI 3:19 Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokera zve kuguruva.
Tinofanira kushanda nesimba kusvikira tadikitira. Kungogara kutukwa kukuru kwevanhu vazere zvivi.
EZEKIERI 16:49 Tarira, zvakaipa zvomunun’una wako Sodoma hezvi: kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusinehanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruvoko rwavarombo navanoshaiwa.
Muviri waAdamu wakaitwa neguruva.
Saka zvakangofanira kusunungura nyika yakabva guruva nekusunungurawo vanhu vakabva kuguruva.
VAROMA 8:22 Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino.
Saka Mwari akaita zano rekuponesa rudzi rwevanhu zvinosanganisira kusunungura nyika nekunatsa Denga.
Mumashure mekuwira muzvivi kwaAdamu, akaita wekutanga kuita chinhu chikuru muzano raMwari guru aive Noa akapona pamvura zhinji yakanaya yakatsvaira hupenyu hwese hwaive panyika makore anoda kuita 1656 emuBhaibheri mumashure mekutadza kwaAdamu. Zvakatora machaputa mashanu chete kuna Genesisi kubva pakusika kusvika panguva yeMvura Zhinji. Mamwe machaputa mana anotevera anotaura nezvaNoa.
Gore remuBhaibheri rine mazuva 360 sezvo mwedzi umwe neumwe une mazuva makumi matatu.
GENESISI 7:11 Pagore ramazana matanhatu revupenyu hwaNoa, nomwedzi wechipiri, nezuva regumi namanomwe romwedzi, nezuva irero matsime ose epakadzika dzika akadzivurwa, namawindi edenga akazarurwa.
GENESISI 8:4 Nemwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati.
Kubva pazuva 17/2 kusvika pazuva 17/ 7 pane mwedzi mishanu yakazara.
Izvi zvakanyorwa semazuva 150.
Nemamwe mazwi, mwedzi mumwe nemumwe une mazuva makumi matatu.
GENESISI 7:24 Mvura ikaramba yakakwirira panyika mazuva anezana namakumi mashanu.
Gore raive rakareba mazuva 360 Mvura yaNoa isati yanaya.
Areka yaive pamusoro pemvura kwenguva inoda kukwana gore. Nguva yainaya mvura yaNoa pasi rese raifamba zvishoma kubva pakutenderera chaiko kwaraive ragara richiita richibva kuzuva richinopinda muchando chenzvimbo dzekunze. Mapowo (Poles) akawoma kuita chando. Iyi ndiyo yakaita nguva yechando yekupedzisira (Ice Age). Kune chando chakapetwa kagumi chiri kupowo rekuzasi (South pole) kudarika kupowo rekumusoro (North pole) kwenyika. Izvi zvakaita kuti nyika ifambe zvisina kugadzikika payaidzoka panzvimbo zvishoma nezvishoma zvikabva zvatora mazuva 365,2422 kuti gore ripere.
Gore redu rine mazuva 365 ndiro chapupu chemakore 365 akararamwa naEnoki muhutsvene Mwari asati amutora kukwira kudenga, mucherechedzo wekereke ichikwira kudenga kunosangana naShe kumakore.
GENESISI 5:23 Mazuva ose aEnoki akanga ari makore anamazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
24 Enoki akafamba naMwari, akasazovapo, nokuti Mwari wakamutora.
Danieri akaona chiratidzo chezvisikwa zvipenyu zvina zvakamiririra hushe hwevaHedeni.
Chisikwa chakaonekwa naDanieri chechina chaive chikara chaive chakamiririra Roma yemaPegani yaive “yakasiyana nehumwe hushe hutatu” nekuti yakazoshanduka kuva Roma yemapope yekereke yeRoman Catholic, mai vemakereke emasangano kana chitendero chechichechi-chechi. Vanhu ndevekereke pachinzvimbo chekuva vaKristu. Vanhu vanotenda kuvaparidzi vanowana chakaipa muBhaibheri.
Vanhu vanotenda zvinotaurwa nemakereke, kwete zvinotaurwa neBhaibheri.
ChiKristu chemasangano chakapatsanura makereke kumaita masangano anodarika 45,000 akasiyana anonyengera vanhu kusvika, sevaranda, vakuterera makereke avo nevatungamiri vawo pachinzvimbo cheBhaibheri.
DANIERI 7:23 Akati: mhuka yechina vuchava vushe bwechina panyika, vuchasiyana novumwe vushe bwose, vuchapedza nyika yose, nokuvupwanya nokuvuputsanya.
DANIERI 7:25 Uchataura mashoko okumhura Wokumusoro-soro, uchaparadza vatsvene vuye uchatsvaka mano okushandura nguva nemirairo;
Pope anozvidaidza kuti “Vicarius Christi” anozviti “ari pachinzvimbo paKristu”. Aya mashoko makuru paanozvisimudza.
Mugore 1302 Pope akati kwaive kusina ruponeso kunze kwekereke yeRoman Catholic. Ruponeso urwu rwaida kuti munhu mumwe nemumwe azviwisire kuna Pope. Aya mashoko makuru anosimudzira Pope nekereke yeRoma Catholic setsime reruponeso. Izvi zvinopikisa Shoko raMwari sezvo Mwari ega ndiye anokwanisa kuponesa munhu.
Makumi emamiriyoni emaKristu vaipokana vakauraiwa Nguva yeRima nenguva dzeRumutsiridzo dzakatevera Rumutsiridzo rwaMartin Luther makore ana 1500.
“Kushandura nguva”. MaRoma ndiwo akashandura karenda.
Mugore 46 BC mudzvanyiririr weRoma Jurio Kesari akashandura karenda kuriita mazuva 365, 25. Izvi zvaive zvakanzenga zvishoma. Kureba kwegore chaiko kwaive mazuva 365.2422. Asi makore anoda kusvika 1600 akazotevera karenda raizorasika nemazuva gumi kubva pane inodaidzwa kuti spring equinox.
Iri ndiro zuva chairo rakaenzana zuva nehusiku zvine maawa 12.
Mugore 1582 Pope weRoma Gregory 13 akashandura gore repakarenda kuriita mazuva 365.2425. Musiyano negore chairo rechokwadi waive wada kusvika pakusaoneka.
Saka Mwari akasiya zvose kuchikara cheRoma (zvose hushe hweRoma yemaPegani nekereke yeRoma yakasimuka kubva mumatongo ehushe hweRoma) kuti vashandure nguva pamakore epakarenda. Izvi zvaive zvakafanira kuitira kuti mwedzi ifambirane nemamiriro ekunze epanyika.
Uku ndiko kwaive kumuka kwesimba raSatani rechikara. Hushe hweRoma hwakanga hwapuhwa ronda rekuvuraya kubva kumarudzi evatorwa. Gomo guru pamakomo ekutanga manomwe eRoma, rakarasikirwa nechinzvimbo charo senzvimbo yehutongi hwezvematongerwo enyika uye zvechitendero asi kereke yeRoman Catholic negurukota rayo pamuzinda weLaterani weBasirika pachikomo cheCaelian yakasimuka kutsiva simba reRoma yechipegani. Chikomo cheCaelian chaivewo chimwechete chezvikomo zvinomwe zvekutanga. Pope akatsiva simba remubati weRoma Kesari.
Ngatidzokerei pakureba kwegore remuBhaibheri rakaitwa nemwedzi gumi nemiviri inemazuva makumi matatu anoita gore remazuva 360.
Tichitarisa pamakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru pakupedzisira, inodaidzwa kuti mazuva 1260 kana kuti mwedzi makumi mana nemiviri.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vaHedeni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.
3 Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviprofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechiuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Score (rakashandiswa muBhaibheri reChirungu) zvinoreva kuti 20. Saka aya mazuva 1260.
1260 / 42 =30 mazuva anoenderana nemwedzi pakarenda remuBhaibheri.
Saka makore 69 ega ega mugore redu rechiRoma remaHedeni remazuva 365.24 akareba zvakafanana nemakore 70 emaJuda ane mazuva 360.
Mazuva anoraudzira aripo 5.24 ari pagore akapetwa ka69 anotipa
5.24 x 69 = 361 mazuva anoraudzira anoita gore rimwechete remuBhaibheri (kukanganisa kusinga sviki hafu yechikamu chimwe kubva muzana hakuzokanganisiwo kuverenga kwedu zvakanyanya).
Saka makore 69 edu evahedeni anotipa makore 70 emuBhaibheri.
Tinofanira kurangarira kubvisa makore anoraudzira aya emuBhaibheri (echiJuda) kana tichida kuti makore eBhaibheri afambirane nemakore edu echiHedeni kana ekarenda reRoma.
Nguva kubva pakuwira pasi kwaAdamu kusvika paMvura yaNoa yaive makore 1656 emuBhaibheri.
1656 / 70 anoburitsa 24.
Saka mumakore 1656 eBhaibheri mashoma nemakore 24 emakore edu emazuva ano.
Saka 1656 - 24 = 1632 emakore edu evaHedeni.
Saka Mvura yaNoa yakaitika makore anoda kusvika 1632 emakore edu anhasi evaHedeni kubva pakutadza kwaAdamu.
Mwari akaita sungano naNoa nenyika. Mucherechedzo waive muraravungu. Ndudzi dzemavara manomwe dzichiputirana.
GENESISI 9:13 Ndinoisa muraravungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
Ichi chaive chiratidzo chekuti mvura (inomiririra dzidziso nevanhu vazhinji) haizozadzi nekuparadza nyika yose zvakare.
Muraravungu uyu, pamweya, waitarira kunguva nomwe dzemakereke.
Nguva imwe neimwe yekereke inomiririrwa neruvara rumwechete pamuraravungu.
Mavara ose ari manomwe anobatana kutipa chiedza chichena.
Nguva nomwe dzemakereke dzinobatana kutipa Shoko raMwari rechokwadi.
Satani anogarowana vanhu vakawandisa vasingatendi oita vatendi, iye ari mutungamiri asingatendi. Vanoedza kunyudza chokwadi chenguva imwe neimwe nedutu ravo redzidziso dzenhema. Chakaipa chagara chichitendwa nevanhu vazhinji. Asi neimwewo nzira, totenda kurubatsiro rwenhume kunguva imwe neimwe, Mwari haazosiyi kereke yake anoitungamirira mukati mezviitiko zvenguva imwe neimwe yekereke.
Mwari haazotenderi ruzhinji, nekutadza kwarwo, kuparadza kutenda kwevashoma vakasarudza kutenda.
Pazuva raNoa kwaive nevatendi vasere nemamiriyoni evasingatendi vairarama panyika. Vazhinji vasingatendi zvachose.
ISAYA 59:20 Nokuti uchavuya sorwizi runodira, runotinhwa noMweya waJEHOVA.
Muraravungu isungano yaMwari yekuti kuchava nevatendi kubva munguva imwe neimwe yekereke vasingazopfugamiri dutu rekusatenda rinonyudza.
Nhanho yaMwari yekutanga yekuponesa nyika yaive yekufukidza nyika nemvura zhinji munguva yeMvura yaNoa.
Uyu mucherechedzo werubapatidzo rwemvura. Vatendi, sevanhu vemunyika, vanofanirawo kufukidzwa nemvura parubapatidzo.
Zvino nhanho yepiri yekusunungura nyika yaive ropa.
Makore anoda kusvika 2700 evaHedeni mumashure meMvura yaNoa, maJuda vakavenga Jesu zvakanyanya zvekuti vakamutora vakaenda naye kunze kweguta vakanomuroverera pamuchinjikwa paCalvari. Nenzira iyoyo Ropa rake rakaerera rikapinda muvhu kunoisunungura.
Chese chinobata ropa raJesu chinosunungurwa.
Ropa raJesu chete ndiro rinobvisa mavara ezvivi pavanhu, nyika neDenga.
Calvari ndiyo yaive nguva yakasunungurwa nekuponeswa kwenyika. Ndiro zuva rakaprofitwa kuzadzisa mazuva 2300 echiprofita (zuva rimwe rinokwanisa kumiririra gore muMangwaro.
Rabani akati kuna Jakobo paakakumbira kuti Rakeri ave mukadzi wake.
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwe vo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwe zve.
Makore anoda kukwana 2000 adarika kubva paCalvari tatarisana nenguva yeKutambudzika kukuru pakuchava nekuputitswa kwemabhomba enyukiriya nezviputikamabwe zvichazadza nyika nemoto.
Mvura, Ropa, neMoto.
Mumashure mechiitiko chezvinhu zvitatu izvi, nyika inenge yava musha wakaringana kuitira makore 1000 ekutonga kwaJesu neMwenga wake, kereke yechokwadi.
Ndiro raive zano raMwari pamusoro penyika.
Pakapera nguva yeMvura yaNoa, Mwari aida kuita sungano itsva neumwe munhu nevana vake.
Mumashure meMvura yaNoa, chakaipa chaive chakagadzwa pasi pehutongi hwaNimrod pamasvingo eBaberi. Iyi ndiyo nzvimbo yaizovakwa guta reBhabhironi nekufamba kwenguva. Kubva ipapo zvifananidzo, madhimoni, dzidziso dzenhema, nevamwari vazhinji, zvakapararira nepasi rese apo Nimrodi akapamba vavakidzani vake kuti aite hushe hwerudzi rwevanhu hwekutanga.
GENESISI 10:9 Wakanga ari mudzimba mukuru pamberi paJEHOVA: naizvozvo vanoti, SaNimrodi mudzimba mukuru pamberi paJEHOVA.
Vanhu vakatotanga kusarudza zvaitaurwa naNimrodi pachinzvimbo chezvaitaurwa naMwari. Kukanganisa kukuru kuri mumasangano kuri pakuterera kushoko remunhu pachinzvimbo cheshoko raMwari.
GENESISI 10:10 Vushe bwake bwakatanga paBaberi, neEreki, neAkadi, neKarine, panyika yaShinari ...
Vanhu muhushe humwe nehumwe vanofanira kuterera mutungamiri wavo.
Vanhu vaiudzwa zvekufunga nezvekuita. Kufunga kwavo kwaitongwa nevatungamiri vavo. Vaisakwanisa kuzvifungira. Vaisatenderwa kufunga pamusoro pezvinhu zvaisazivikanwa namambo. Vaive vakaisirwa miganhu nemutungamiri wavo.
Hutungamiri hwevanhu vane shungu kwazvo hwakapararira hukaita kuti vanhu vazviwisire kuvatungamiri vavo.
Vanhu vanoona zvavanozviisira muganhu kuti vaone. Vanomanikidzwa kuti zvavanoona zvienderane nezvavanosarudza. Vanotenda kuti chero munhu ari kunze kwechitendero chavo anokanganisa.
Vatungamiri vezvitendero zvevanhu vanosimbirira pakuvaka hushe hwavo pachinzvimbo chekuvaka hushe hweDenga.
Saka Mwari akabva asimudza munhu wake aitevera muzano rake guru, Abrahama, makore anoda kuita 420 emakore evaHedeni mumashure meMvura yaNoa. Chakaipa chaive chaita nheyo dzacho pakati penzizi Tigirisi neEfratesi. Vaifara kunamata vamwari vakawanda, sezvaiitwa nevaEgipita.
Abrahama akabva kuUri achienda kuHarani achitevera kurudziro yababa vake Tera. Pakafa Tera, Mwari aive akukwanisa kushanda naAbrahama (ipapo ainzi Abramu) pachake akamudana arinemakore 75. Saka iye nevana vake vaizogona kupihwa Nyika yeChipikirwa yaive nzvimbo ine Jerusarema nhasi. Jerusarema raive risati ravakwa mumazuva aAbrahama. Minongedzo yeruvara rwegirini mumepu inoratidza dzimwe nzendo dzakaitwa naAbrahama paakadaidzwa naMwari kubva munzvimbo yaive yakazadzwa nekunamata zvifananidzo uye zvitendero zvechipegani.
Kuti asunungure vana vaAbrahama, Mwari akaita sungano itsva naAbrahama nevana vake.
Sungano iyi yepanyama yaive yakaitirwa Nyika yeChipikirwa yeIsraeri kuti yaizopuhwa vana (muhuwandu) vaAbrahama vaaizobereka, vanakomana vake nevana vavo, vaive maJuda vaizogona kukutenda muna Mwari nevimbiso yake.
Asi sungano yaidawo kusimbiswa muna Jesu Kristu, Mwanakomana (mumwechete) waAbarahama pamweya, panhanho dzeMweya dzakadzama. Jesu aizova Messiasi akavimbiswa.
GENESISI 12:7 Zvino JEHOVA wakazviratidza kuna Abrama, akati: ndichapa vana vako nyika iyi: akavakira JEHOVA artari ipapo, iye wakanga azviratidza kwaari.
Mwanakomana waAbrahama, mwanakomana waaizoita, aizogara nhaka yechivimbiso ichi.
GENESISI 17:7 Ndichasimbisa sungano yangu, pakati pangu newe, navana vako, vanokutevera pamarudzi avo ose; kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowavana vako vanokutevera.
GENESISI 17:21 Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara nenguva iyi makei.
GENESISI 21:5 Abrahama akanga asvika makore anezana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.
Kuti asimbise sungano zvaizoda Abrahama (baba) kuti ave naIsaka mwanakomana aizopirwa sechipiriso.
Abrahama akatenda kuti akauraya Isaka, Mwari aizomutsa Isaka kubva kuvakafa. Zvisinei, Mwari akatsaura Isaka.
Asi izvi zvakazozadziswa neMwanakomana waAbarahama wemweya aive Jesu Kristu. Akafa pachokwadi akamuka kubva kuvakafa.
Sungano iyi yakazozadziswa neMwanakomana waAbrahama wemweya, Jesu.
Saka izvi zvakatora nguva yakareba sei kubva pakuberekwa kwemwanakomana waAbarahama weropa, Isaka?
Kwaisazokwanisa kuwanikwa rudzi revaIsraeri kusvikira Abrahama abereka mwanakomana wake, Isaka.
Kwaisazova nekereke yevaHedeni pasi rese kusvikira Israeri yabereka Mwanakomana waAbrahama weMweya, Messiasi wavo.
Saka nguva yakashanda Mwari nemaJuda yaive yakareba sei kubva pakuberekwa kwemwanakomana Isaka kusvika pamuchinjikwa?
Nzvimbo tsvene yakanatwa paCalvari neRopa raJesu Kristu rakadeuka.
Chivimbiso chaMessiasi, mwanakomana waAbrahama weMweya, chaive chakayanana neapo Mwari akavimbisa Abrahama mwanakomana wake Isaka.
Kubva pakuberekwa kwaIsaka kusvika pakufa kwaJesu paizova nemakore 2300 emakore emuBhaibheri.
Abrahama akakomborerwa nemwanakomana wake Isaka. Pasi rese raizokomborerwa mukufa kweMwanakomana wake, Jesu.
Sungano yeMweya yaJesu yaizokudza sungano yaAbrahama yepanyama akapihwa Nyika yeChipikirwa yekuti maJuda vagogara. Kuzadzisa sungano yaAbrahama muzvikamu zvakadzama kwaizozarura mukova kune maHedeni ose akatenda akazvarwa patsva pasi rese, kana vaizotenda kuchivimbiso cheMweya Mutsvene chaizovatungamirira muzvokwadi yese yeShoko raMwari. Shoko, Bhaibheri, ndiro rinozova nyika yemaKristu. Vaizorarama nekutenda munzira dzinodiwa neBhaibheri kuti vararame. Sungano yavo inozova Mweya Mutsvene unozivisa Bhaibheri kwavari, kunguva yavo yakasarudzika nezviitiko zvayo.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
Chipikirwa chaMwari chaive chekutumira Mweya Mutsvene.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, Iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose.
Mweya Mutsvene ndiye Chipikirwa.
Anotitungamirira kupinda muchokwadi chakazara cheBhaibheri inova nzvimbo yeMweya inogara ndangariro dzedu nekutenda kwedu.
Micherechedzo yenyama yesungano dzakaitwa naAbrahama yese yaimiririra chokwadi chakadzama cheMagwaro chaizoitwa naJesu paaizadzisa sungano dzake kuti dzigoshandawo kukereke yevaHedeni.
GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo JEHOVA akaita sungano naAbrahama, akati: vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kusvikira kurwizi rukuru runonzi Yufratesi.
Yufratesi yaive muganhu wehushe hwaizouya hweBabironi. Ndiro raizova tsime rezvakavanzika zveBabironi zvaizofamba muhushe hwevaPersia nevaGiriki kusvika zvaizoguma zvava muhushe hweRoma zvozosvibisa kereke yeRoman Catholic.
Saka Babironi rakava mucherechedzo wemasangano ezvitendero akaitwa nevanhu. Egipita, musha zvakare wamwari vezuva vechipegani, mucherechedzo wezvenyika. Mwari aida Nyika yechipikirwa musha wemaJuda waipokana nezvenyika, nezvitendero zvakaitwa nevanhu. Zvino kumberi Mwari akazoda kereke inopokana nezvenyika, nezvitednero zvemasangano zvakaitwa nevanhu.
Sungano yenyama yakaitwa naMwari naAbrahama yaisanganisa, micherechedzo, zvipenyu zvitatu zvakachekwa nepakati. Zvidimbu zvemahafu maviri zvaive zvakaiswa parutivi neparutivi. Zvisikwa izvi zvaive mucherechedzo wezviitiko zvakadzama kwazvo. Zviitiko zvaigona kuzozadziswa chete murufu rwaKristu paCalvari.
GENESISI 15:9 Akati kwaari: nditorere tsiru rinamakore matatu, nesheche yembudzi inamakore matatu, negondobwe rinamakore matatu, nenjiva nomwana wenjiva.
Gondobwe raive mucherechedzo wekuuya kwaJesu.
Abrahama aive oda kuuraya Isaka apo Mwari akamumisa akamupa gondobwe rehwai kuti auraye pachinzvimbo chaIsaka.
GENESISI 22:13 Abrahama akasimudza meso ake, akatarira, ndokuvona shure kwake gondobwe rakanga rakabatwa nyanga dzaro mugwenzi; Abrahama akatora gondobwe iro akaripisa chikava chibairo panzvimbo yomwanakomana wake
Gondobwe raisagona kupunyuka. Raive rakabatwa mugwenzi neminzwa uye raifanira kufira Isaka, muJuda mumwechete. Saka mwanakomana waAbrahama akaponeswa.
Jesu, Mwanakomana waAbarahama pamweya aive mukuru kwazvo akapa hupenyu hwake kuti vamwe vaponeswe. Haana kubvira aedza kuzviponesa.
Jesu segondobwe, haana kupunyuka. Akarovererwa pamuchinjikwa akafira mamiriyoni evatadzi vakatendeuka. Vazhinji vavo vaHedeni. Saka Jesu paakazadzisa sungano, kushanda kwesungano iyi kwakabva kwakudzwa kwazvo.
ChiKristu ndicho chega chitendero chakabva pane chimwe chitendero, Murairo wemaJuda. Zvino micherechedzo yeMurairo wechiJuda inokudzwa kuratidza muono wakadzama kwazvo.
ISAYA 42:21 Zvakafadza JEHOVA, nokuda kwokururama kwake, kukudza murairo nokuurumbidza.
Isaka, muJuda, akarumbidza nokuti akararama.
Isu vaHedeni, kurumbidza kwedu kuri pakuti Jesu akatifira. Saka tine sungano iri nani.
Mucherechedzo wechipiri waive mbudzi. Mutakuri wekuipa anotakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure.
Mbudzi mbiri dzakasarudzwa nemaJuda. Mbudzi imwechete yaiuraiwa kuitira zvivi zvemaJuda imwe yacho yaitakura zvivi zvemaJuda kuenda nazvo kure (yekurasirira).
Abrahama aikwanisa kupa hafu yeizvi, mbudzi yakafa. Sungano panyama naAbrahama yaive yakanaka, asi isina kuzadziswa.
Jesu aizoita basa rakazara paaizozadzisa sungano iyi.
Jesu aive nemabasa maviri ekuzadzisa. Aizofa paaitora zvivi zvedu sembudzi yekutanga yaifa. Zvino Mweya wake Mutsvene mukuru, wakabuda mumuviri wake paakafa, waizotakura zvivi zvedu zvese kuenda nhazvo kure pasi pegomba kunozvirasira pana Satani baba vezvivi. Zvino Satani ndiye anozvidairira.
Saka Jesu ega ndiye akagona kuita zvese kufira zvivi zvedu uye kutakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure. Ndiye Mbudzi huru yekurasirira.
REVITIKO 16:8 Aroni zvino unofanira kukanda mujenya pamusoro pembudzi mbiri; mumwe mujenya waJEHOVA mumwe waAzazeri.
“Kukanda mujenya” zvinoreva kuti kusarudza kuti imbudzi ipi inouraiwa. MaJuda akasarudza pakati paJesu nemuvurayi Barabba kuti ndiyani aizofa.
REVITIKO 16:9 Zvino Aroni unofanira kuvuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJEHOVA ndokuibaira chive chipiriso chezvivi.
REVITIKO 16:10 Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJEHOVA kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
Mbudzi yechipiri yairarama asi yaifanira kuregwa iende kurenje. Mucherechedzo weMweya Mutsvene uchitakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure.
Mweya Mutsvene hauna kufa paCalvari. Rufu kupatsanurana kwemweya nenyama. Saka Jesu paakafa, Mweya Mutsvene waive Maari wakasiya Muviri kuti uende kunopedzerana naSatani kugehena.
Tsiru dzvuku, chipiriso chakachena, raipiswa madota aro oiswa mumvura semvura yekutsaura vanhu kubva kuzvivi zvavo.
NUMERI 19:2 Ndiwo murairo wakarairwa naJEHOVA achiti: Taura navana vaIsraeri vavuye netsiru dzvuku risine mhosva, risina kuremara, risina kumboiswa joko.
Ini nemi hatifaniri zvachose kumanikidzwa kutevera nekuterera zvitendero netsika dzekereke dzisimo muBhaibheri.
NUMERI 19:3 Zvino munofanira kuripa Ereazari, muprista, iye aribudise kunze kwemisasa, rigovurawa pamberi pake.
Jesu akauraiwa paCalvari, kwaive kunze kweguta reJerusarema. Caiafasi muprista mukuru aive amupomera zvenhema kuti umwe, Pontius Parato, amuuraye pamberi paCaiafasi.
NUMERI 19:4 Ipapo Ereazari muprista unofanira kutora ropa raro nomumwe wake, nokusasa ropa raro kanomwe kuritivi rwemberi rwetente rokusongana.
Kanomwe zvinomiririra nguva nomwe dzemakereke apo ropa raJesu rinosasa pasi rese apo mamishinari nevamwe vanhu vanotora Evangeri vachitenderera pasi rese naro.
NUMERI 19:5 Zvino tsiru rinofanira kupiswa pamberi pake; debge raro, nenyama yaro, neropa raro, pamwechete namazizi aro zvinofanira kupiswa.
Kupiswa. Jesu akafamba pamusoro pemoto wegehena kuti awane ruponeso rwedu nekukunda Satani, Rufu, Gehena, neGuva.
ZVAKAZARURWA 1:15 Tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya; inenge yakanatswa muvira.
Kwaivewo nezvimwe zvitatu zvaifanira kutsva.
NUMERI 19:6 Zvino muprista unofanira kutora rutanda rwomusidhari nehisopi, nomucheka mutsvuku, ndokuzvikandira pakati pomoto unopisa tsiru.
Musidhari idanda dzvuku, mucherechedzo wemuchinjikwa. Kutsva kwekurwadziswa kwaJesu.
Hisopi isora, kachikwenzi kaduku. Kaiwanikwa kwese kwese. Aka kaive mucherechedzo wekutenda. Tese tinotenda kuti chekudya chedu nechatinomwa hachina muchetura. Tine kutenda kuti vamwe vanotyaira vachagara kurutivi rwavo rwemugwagwa nguva dzose. Kutenda kuri mumunhu wese. Tinongofanira kudzidza kukushandisa panaMwari neBhaibheri Shoko rake dzvene. MaJuda vaishandisa hisopi kuisa ropa regwayana rechibairo pamagonhi avo nepamusoro pemikova yavo. Vaiisa mucherechedzo wemuchinjikwa kuti ndiwo mukova wekupinda Denga.
EKSODO 12:22 Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo;
Zviri pachena, kutenda kunotora Ropa raJesu kubva pamuchinjikwa kworiisa mumoyo yedu kuti ritinatse kubva kuzvivi.
Ruvara rutsvuku nderweropa rinotiponesa kubva kuzvivi. Rahabu akaburitsa tambo tsvuku nepawhindo remba yake pamudhuri weJeriko. Izvi zvakaponesa iye nemhuri yake sezvo chikamu chemudhuri wake iye chete chisina kuputsikira pasi.
JOSHUA 2:18 Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pawhindi pawakatiburisa pasi napo:
Magwaro imvura inoshanda semuganhu unoita kuti chivi chipatsanurwe nesu.
NUMERI 19:9 Zvino mumwe munhu akanaka unofanira kuvunganidza madota etsiru, ndokuachengeta kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka, kuti achengeterwe vungano yavana vaIsraeri, kuzoita nawo mvura yokunatsa nayo; chipiriso chezvivi.
Kuterera Shoko raMwari chete ndiko kunogona kutisuka nekutinatsa kubva kuzvivi. Madota haagoni kuwora kana kushanduka nenguva. Shoko raMwari rinotiponesa nhasi, zvimwechete nezvarakaita kumashure uko munguva yekereke yekutanga. Shoko harishanduki, kana kuwora, kana kurasikirwa nesimba raro.
VAEFESO 5:26 Kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko.
Shoko rinogara nokusingaperi uye rinoshanda kutiparadzanisa nezvivi nekusatenda.
Saka Abrahama akatora mhuka nhatu, mucherechedzo wezvaizoitwa naKristu, akadzicheka nepakati. Akadziyanika mahafu maviri akatarisana.
PaCalvari, Mwari aizocheka Kristu nepakati.
Kucheka Mweya Mutsvene kuti ubude muMuviri wake nekutumira Mweya Mutsvene kugehena muviri uchienda kuguva.
Akamutsa muviri iwoyo kubva muguva akatora muviri wenyama iwoyo kuenda nawo Kudenga kuchigaro chaMwari chehushe. Akabva atumira Mweya Mutsvene waKristu paNyika kuti urarame mukereke.
Mweya Mutsvene waizoita kuti kereke pano pasi irarame ichitenda sezvaingoita Jesu Kristu ari Kudenga.
Mwari “mumahafu” maviri.
Mwari achirarama muMuviri waJesu Kristu wechipiriso pachigaro chenyasha Kudenga.
Mwari mumwechete iyeye ndiye ari kurarama mumoyo yevanhurume nevanhukadzi panyika.
Nei mhuka nhatu dzakachekwa nepakati kuitira sungano?
Izvi zvinoisa kukosha pachiverengo chechitatu.
Mwari anoona nyika semarudzi matatu, maJuda maSamaria (vanoti chikamu maJuda chikamu vaHedeni), neVahedeni.
Kristu akakunda kuwana ruponeso rwerudzi rwevanhu paakakurira rufu paakamuka kubva kuvakafa pazuva retatu.
Kereke yevaHedeni, chokwadi pachakapotsa chatsvairwa muNguva yeRima, yaizomuka pamweya munguva nhatu dzekupedzisira dzekereke.
Kururamisirwa kwaLuther munguva yekereke yechishanu yeMutsiridzo. Wesley nehutsvene nekuparidzira zvakazounza nguva huru yemamishinari yenguva yechitanhatu yekereke. Simba rePentecosti nekuziviswa kwezvakavanzika zveBhaibheri zvakasimbiswa munguva yekereke yechinomwe uye yekupedzisira kuti kereke igone kudzokera pakutenda kweBhaibheri kwekutanga kwenguva yekereke yevapostora.
Zvinhu zvitatu zinopa hupenyu zvakabuda pana Jesu pamuchinjikwa. Mvura, Roma, neMweya.
Mvura dzeShoko. Ropa raShe Jesu Kristu, nesimba rezaruriro yeMweya Mutsvene zvinomutsa Mwenga wechokwadi kubva muzvivi uye kusatenda.
Mwari ndiBaba (Pamusoro pemaJuda), Mwanakomana, (ari nemaJuda ari Emanuere), neMweya Mutsvene (Achigara mumoyo yevatendi vakazvarwa patsva).
GENESISI 15:10 Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.
Shiri dzaimiririra kutenda kwesununguro neruponeso zvisingagoni kupatsanurwa. Kana Mwari akaita sungano yekuponesa vanhu, Mwari anoshandisawo sungano imwechete iyoyo kuporesa vanhu.
GENESISI 15:11 Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abrahama akawadzinga.
Husiku hwakati hwaswedera, magora kana makunguwo anouya kuzodya nyama.
Muprofita Abrahama anoadzinga. Sungano yake yaive isiri yemagora. Izvi zvinomiririra nguva yekupedzisira. Nguva yehusiku.
MATEO 24:27 Nokuti semheni inobva mabvazuva, ichipenyera kumavirira, ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
Chiedza cheEvangeri chakatangira kuParesitina munguva yekereke yekutanga chikarasika muNguva dzeRima.
Chiedza cheEvangeri chakatanga kudzokedzana munguva yeMutsiridzo yemakore ana 1500 apo Martin Luther kuGermany akadzorera Kururamisirwa. Kuponeswa nekutenda. Chiedza chakafamba kuenda kuEngland apo John Wesley akadzorera hutsvene nekuparidzira zvakazotungamirira kuti vasvike munguva yemamishinari. Zvipo zvePentekosti zvakatanga munguva yeMutsiridzo yeWelsh muna 1904 muEngland zvikapararira kuenda kumugwagwa weAzuza muLos Angeles muAmerica muna 1906. William Branham muna 1963 akazivisa zvakavanzika zvaive zvakasimbiswa muBhaibheri kuti makondo enguva yekereke yekupedzisira adzokere pakutenda kwenguva yekereke yekutanga.
MATEO 24:28 Apo panomutumbi ndipo pachaunganira magora.
Nyama yakanaka nyoro yakauraiwa yekuziviswa kweZvisimbiso zvinomwe inongokwezva makondo. Inodzinga magora nemakunguwo.
Dzidziso dzemuprofita wenguva yekupedzisira kuvaHedheni dzinodzinga zvitendero zvemasangano zvisimo muBhaibheri. Anonzwikwa chete neavo vanoda kutevera Magwaro zvakazara sezvakaitwa nemapostora enguva yekereke yekutanga yeTestamente Itsva.
Gondo remweya chete ndiro rine maonero anopinza kana mafungiro ekunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri.
Magora kana makunguwo pamweya anoramwa otaura kuti mavhesi eBhaibheri akaoma kunzwisisa haana kukosha, kana kuti akanyorwa zvisirizvo, kana kuti anorwisana, kana kuti akaoma kunzwisisa, kana kuti akakanganiswa kuti vangogona kushandura zvinotaurwa nemavhesi iwayo.
“Tinofanira kuziva”, ndizvo zvinotaura Mwenga paanoomerwa nekunzwisisa chakavanzika chinofanirwa kuziviswa pamagumo.
“Tinofanira kuziva here?” ndizvo zvinotaura vasikana mapenzi. Vanenge varinehusimbe vasina shungu kana tasvika pazvinhu zvakaoma kunzwisisa muBhaibheri.
Genesisi 3:1 “Ndizvo here, kuti Mwari wakati?”
Ndiko kwakava kutanga kwenyoka paakaisa kusanzwisisika paShoko raMwari kubva pakutanga.
Vanoenda kumakereke vakawanda vanobvumirana nekamutauriro aka.
HABAKUKI 2:3 Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema: kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichavuya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
Asi pamagumo, zvakavanzika zveShoko raMwari zvinofanira kupedziswa panokura pakunzwisisa kwedu.
Sungano yaMwari naAbrahama yakatanga nekuradzika Abrahama hope.
Paive pasina basa rekuti iye aite. Sungano yaive isingabvi pamabasa ake iye.
GENESISI 15:12 Zvino zuva rakati rovira, Abrama ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.
Zuva rovira mucherechedzo wenguva dzehusiku, kupera kwenguva yekereke yechinomwe, yekupedzisira.
Abrahama akarara hope huru.
Izvi zvinoreva zvinhu zviviri. Chirevo chekutanga ndechekuti anenge asisina chekuita zvachose musungano yaizoitwa naMwari. Mwari haadi kubatsirwa nevanhu.
Paive pasina mabasa akanaka aigona kuitwa naAbrahama kuti aite sungano naMwari.
Akauraya mhuka kuitira chipiriso asi mhuka dzose dzakapirwa dzese dzainongedza kune zvaizove Kristu.
Kurara hope huru mucherechedzo werufu, magumo emutadzi.
Zvino rima rinotyisa rezvivi nekusatenda. Kuwira mugomba guru rine rima risina muganhu.
Hakuna chiedza kana vanhu vakabva pachokwadi cheBhaibheri.
MAPISAREMA 119:105 Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.
Mwari akabva aenderera mberi nesungano yake.
GENESISI 15:17 Zvino zuva rakati ravira kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakawonekwa zvichipfuvura napakati penhindi idzedzo dzenyama.
Pane vutsi pane moto. Zhenje moto unopisa zvakanyanya. Moto wegehena. Magumo anoparadza kuhupenyu hwevasingatendi.
Asi zvino tasvika pamoyo wesungano yaMwari.
Chiedza chinopfuvura nepakati penhindi mbiri dzechipiriso chimwe nechimwe.
Chiedza ichi chega chaikwanisa kukurira kusunungura kubva kurima rezvivi nekusatenda.
JOHANE 8:12 Zvino Jesu wakataura zve navo akati: ndini chiedza chenyika.
Jesu ndiye Chiedza chenyika.
Chiedza ichi mucherechedzo weMweya waKristu. Jesu akafa pakati pezvidimbu zviviri zveBhaibheri, Testamente Itsva neTestamente Yekare.
Mweya wake waizoenda kugehena wakatakura zvivi zvedu. Aizofamba mumoto unopisa unotyisa kunorasira zvivi zvedu kuna Diaborosi.
Kristu anoonekwa nebvudzi jena rakafanana newigi yemutongi. Kuvenga kwaakaita zvivi kwakafanana nemoto mumaziso Ake. Nguwani yemutongi yeshinda yaanopfeka yakachena semazaya echando. Mutongi anotarisira kuti tive tisina kana chivi.
ZVAKAZARURWA 1:14 Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zviri zvichena samakushe machena, sechando’ meso ake akaita somurazvo womoto.
Saka hatigoni kuzviponesa. Chero mabasa edu akanaka haana kuchena mumeso aMwari.
ISAYA 64:6 Nokuti isu tose tava sounetsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo inetsvina.
Tsoka dzake dzinomiririrwa nesafuri dzaive dzafamba muvira rinovirima.
ZVAKAZARURWA 1:15 Tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya, inenge yakanatswa muvira;
Hatigoni kunzwisisa muripo unorwadza wakaripirwa naKristu kuti atisunungure kubva kuzvivi.
Jesu ega ndiye akagona kukurira kupisa ikoko.
Kubata kwehasha dzaMwari pamusoro pezvivi kwakagona kusunungurwa naJesu chete.
ISAYA 63:3 Ini ndakatsika chisviniro chewaini ndoga; kwakanga kusinomunhu wamarudzi avanhu waive neni.
Asi Jesu akakunda Diaborosi kugehena akatsika Diaborosi akamutorera makiyi erufu negehena.
I VAKORINTE 2:8 Bwusina kuzivikanwa nomumwe wavabati venyika ino; nokuti dai vaibwuziva, vangadai vaisarovera Ishe wokubwinga pamuchinjikwa.
Kukanganisa kwaSatani kukuru kwaive kuuraya Jesu.
Mudzimu mweya wemunhu akafa.
GENESISI 25:8 Abrahama akabudisa mweya wake, akafa ...
Mweya yevanhu vakafa vari vatadzi chete ndiyo inoenda kugehena. Mweya Mutsvene waKristu anorarama waisakwanisa kuenda kuGehena. Asi pakafa Kristu Mweya waMwari wakabuda muMuviri wake ukakunda kuva Mudzimu, Mudzimu Unoyera, nekuti muviri wake wakafa waive wakaturikwa pamuchinjikwa. Tichiwedzera, Jesu aive atora zvivi zvedu kuzviita zvake, saka Mudzimu unoyera waive wakukwanisa kupinda mugehena sezvo aive akatakura zvivi zvedu.
Zvino Mudzimu Unoyera wakanorasira zvivi zvedu pana Satani sezvo Jesu aive aripira muripo wezvivi pamuchinjikwa. Satani akawana kurobwa kwehupenyu hwake hunonyangadza akarasikirwa nemakiyi erufune gehena pakuita uku.
ZVAKAZARURWA 1:18 Naiye Mupenyu; ndakanga ndafa, tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri; ndinekiyi dzorufu nehadhesi.
Jesu akafa akakurira Satani, Rufu neGuva akamuka kubva kuvakafa kuti ararame nekusingaperi-peri.
Izvi zvose zvaive zvamboratidzirwa pahupenyu hwaIsaka.
GENESISI 22:1 Shure kwaizvozvo Mwari wakaidza Abrahama, akati kwaari Abrahama! Iye akati: Ndiri pano hangu.
2 Akati: Zvino Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwechete waunoda, Isaka uende kunyika yeMoria umuite chibairo chinopiswa panerimwe gomo randichakuratidza.
Abrahama sababa aifanira kupa Isaka mwanakomana wake sechibairo.
Pavaifamba kuenda kugomo reMoria kwaizovakwa Tembere rimwe remazuva, Abrahama akaudza majaya aaive nawo kuti amumirire pane imwe nzvimbo.
GENESISI 22:5 Abrahama akati kumajaya ake: Imi chigarai henyu pano nembongoro; ini nomwana tichaenda ikoko, tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.
Abrahama aiziva kuti ari kundouraya Isaka. Asi akataura kuti aizodzoka naye. Saka Abrahama aive nekutenda muna Mwari kuti Mwari vaizomutsa mwanakomana wake wechipikirwa.
GENESISI 22:6 Abrahama akatora huni dzechibairo chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruvoko rwake; vakaenda vari vaviri.
Isaka semwanakomana wekubereka waAbrahama akatakura huni.
Jesu seMwanakomana waAbrahama wemweya akatakura muchinjikwa.
Asi Isaka aisakwanisa kufira zvivi zvechero munhu. Saka rufu rwaIsaka rwaive rusina kukosha. Saka Mwari aisada kufa kwaIsaka.
Saka kuzvarwa kwaIsaka ndipo pakatangira chiprofita chemazuva 2300.
Kuzvarwa kwaIsaka kwakaunza kuseka nemufaro muhupenyu hwaSara.
Sungano yepanyama kuna Abrahama naIsaka yakapa maJuda Nyika yeChipikirwa.
Asi kufa kwaJesu pamuchinjikwa kwakazadzisa sungano yepanyama iyi muzvikamu zvemweya zvakadzama kuti Jesu ave Mwana wechipikirwa akazara kuna Abrahama, muzvikamu zveMweya.
Zvino Jesu akazadzisa zvaidiwa pakufa nekumuka, zvaikwanisa kuitwa naiye oga.
Saka kufa kwaJesu ndipo pakagumira chiprofita ichi.
GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo JEHOVA akaita sungano naAbrahama, akati: Vana vako ndavapa nyika iyi; kubva parwizi rweEgipita kusvika kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi.
Mwari akatanga kuita sungano yepanyama naAbrahama yekumupa kachidimbu kenyika. Nyika yeIsraeri yakakura zvisingadariki chikamu chimwechete kubva muzana chepasi rese.
Zvino Mwari aizozadzisa sungano iyi muna Kristu. Sungano yaizozadziswa kuti isunungure nyika neRopa raJesu zvozosanganisa maHedeni ari pasi rese vari vatsvene vakazvarwa patsva. Zvisinei, zvitendero zvemasangano zveBabironi neEgipita hazvifaniri kuwanikwa mukereke yaMwari.
GENESISI 15:13 Akati kuna Abrama: Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo; vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore anamazana mana.
Asi sungano iyi inouya nemuripo. Kwaizova nekutambudzika kukuru. Uye kutadza kukuru kunoda kukurirwa.
Kurambwa kukuru nekurovererwa.
Kereke yaizogamuchira mazano emasangano akaitwa nezvitendero zviri zvevanhu netsika dzavo. Nekudaro takava nemakereke akasiyana-siyana anodarika 45,000 anotenda zvakasiyana-siyana. Kune marudzi emavhezheni emaBhaibheri anodarika zana akasiyana. Kuedza kutsvaga chokwadi munguva ino kurwadziswa kwenjere kukuru. Vanoenda kumakereke vane maonero akasiyana siyana nezvitendero zvakasiyana siyana.
ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe izwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudzo aro.
Vanhu vanofanira kutsvaga chokwadi chaMwari muBhaibheri sezvo hachisi kuzowanikwa mumakere.
Kutsanangura vhesi rimwechete muBhaibheri tichiriyananisa nemamwe mavhesi eBhaibheri ndiyo yega nzira yekuzivisa zvinorehwa nevhesi racho.
Kufa kuvigwa nekumuka kwaJesu kunozadzisa sungano yeTestamente Yekare ichibva yakatanga sungano yeTestamente Itsva.
JEREMIA 31:31 Tarira mazuva anovuya - ndizvo zvinotaura JEHOVA, andichaita sungano itsva navana veIsraeri, vuye neimba yaJuda.
32 Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruvoko, ndikavabudisa munyika yeEgipita, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari- ndizvo zvinotaura JEHOVA.
33 Asi heyi sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo- ndizvo zvinotaura JEHOVA, ndichaisa murairo wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
Mvura Zhinji mumazuva aNoa chaive chiitiko chekutanga chikuru mumashure mekutadza kwaAdamu.
Asi Noa aive akarurama Mvura zhinji isati yauya ndiye akava munhu wekutanga kutadza nekudhakwa mumashure meMvura zhinji.
GENESISI 6:9 Marudzi aNoa ndiwo: Noa akanga ari munhu wakarurama, asinemhosva mumarudzi ake, Noa wakafamba naMwari.
Izvo zvaive zvakadaro Mvura Zhinji isati yauya.
GENESISI 9:20 Noa wakatanga kuva murimi, akarima munda womuzambiringa;
21 Akamwa waini, akabatwa, akazvifukura mutente rake.
Izvi zvakaitika mumashure meMvura Zhinji.
Saka Mwari akatanga kugadzira zano riri nani kuitira kusunungura vanhu.
Mwari akasarudza Abrahama akaita sungano yeTestamente Yekare kunaiye navana vake.
Testamente Itsva yakatanga nekuyananisa Abrahama naJesu.
MATEO 1:1 Mazuta amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDavidi, Mwanakomana waAbrahama.
Saka akaita basa guru kuti asvike pakuyananiswa naJesu.
Kuita kwakasarudzika kwaivepo kwakatatamuka kuchibva pakuzvarwa kwaIsaka, mwanakomana wechipikirwa waAbrahama, kusvika pakufa kuvigwa nekumuka kwaJesu Mwanakomana waAbrahama wechipikirwa pamweya.
Ndicho chikonzero nei (Mwari asina kubvira atiti tipemberere kana kurangarira kuzvarwa kwaJesu).
Nguva iyi yese iri mumazuva 2300 echiprofita chaDanieri.
Jesu akarwira dzidziso yekumuka kuvakafa nekudzosera zviitiko kuna Abrahama.
MATEO 22:31 Asi kana kuri kumuka kwevakafa, hamuna kurava here zvamakavudzwa naMwari, paakati:
32 Ini ndiri Mwari waAbarahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobo? Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.
Abrahama aive achitenda zvikuru mukumuka kwevakafa. Ndicho chikonzero nei aive akazvipira kupa Isaka mwanakomana wake sechibairo. Aiziva kuti Mwari aizomumutsa kubva kuvakafa sezvo Mwari aive avimbisa kuti mwana wake (mwanakomana) aizogara nhaka yeNyika yechipikirwa.
Pakatanga Mwari kuzvisikira muviri wemunhu mukuru akauya pasi kuzotaura nemunhu, ainosangana naAbrahama.
VAHEBERU 7:1 Nokuti Merkisedeki uyo, mambo waSaremi, muPrista waMwari wokumusoro - soro, wakasongana naAbrahama pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza.
2 Abrahama akamupa vo chegumi chezvose; iye pakutanga ari mambo wokururama, kana zvichishandurwa, vuyezve mambo waSaremi, ndokuti, mambo worugare;
3 Asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu asi wakafananidzwa nomwanakomana waMwari, unogara ari muprista nokusingaperi.
Mwari azvisikira muviri wenguva duku kubva muguruva akazvidaidza kuti Merkisedeki. Akabva auya kuzosongana naAbrahama. Merkisedeki paaizopedza naAbrahama, muviri wake waizodzokera kuguruva.
Merkisedeki haana kuzvarwa seMwana uye haana kufa akadeura ropa rake kuzvivi. Hakunawo chiprofita chakabvira chauya panyika chekuuya kwake kana hushumiri hwake. Kunze kwekuti, nekuti Merkisedeki aive Mwari mumuviri wenyama, aive akafanana neMwanakomana waMwari, Jesu.
Mwari akaita sungano naAbrahama nemaJuda vana vake verudzi rwake rweropa.
SaMerkisedeki, Mwari ndiye akava munhu wekutanga kuva zvose muprista uye Mambo.
Hakuna mumwe munhu akabvumirwa kuita zvigaro izvi zvose zviri zviviri sezvo raizova simba rakawandisa pamunhu mumwechete.
Ari Jesu, Mwari aizozvarwa seMwana panyama okura kuita Murume. Jesu aive munhu wekutanga kubva pana Merkisedeki aikwanisa kuva zvose Mambo uye Muprista Mukuru.
Saka sungano iri nani kwazvo yaizozadziswa muna Kristu, Mwanakomana waAbrahama pamweya.
Kunatswa kana kukanganwirwa kwezvivi kunoitika chete kana ropa radeurwa.
VAHEBERU 9:22 Zvirokwazvo tingati pamurairo zvinhu zvinenge zvose zvinonatswa neropa; vuye kana kusineropa rinotevurwa, hakunekanganwiro.
Nzvimbo tsvene kudenga yaifanira kunatswa sezvo Satani aive mutumwa Kudenga paakatadza.
VAHEBERU 9:23 Naizvozvo mifananidzo yezviri kudenga yaifanira kuti inatswe nezvibairo izvi; asi zvinhu zvekudenga zvimene kuti zvinatswe nezvibairo zvinopfuvura izvi nokunaka.
Tabernakeri neTemberi zvaive mifananidzo yezvinhu zviri Kudenga. Izvi zvinonatswa neropa remhuka. Asi nzvimbo tsvene chaiyo Kudenga inofanira kunatswa neRopa raJesu.
VAHEBERU 9:24 Nokuti Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namavoko, inofanira iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.
VAHEBERU 9:11 Asi Kristu wakati asvika ari muprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvinozouya, akapinda napatabernakeri yakapfuvura pakukura napakukwana, isina kuitwa namavoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno.
Iyi ndiyo nzvimbo tsvene yaMwari yekudenga. Yakanatswa neRopa raJesu Kristu.
VAHEBERU 9:12 Haana kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake chairo, kamwechete, zvikapera, panzvimbo tsvene akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
Ropa raJesu raifanira kutorwa kuenda kudenga Kunzvimbo Tsvene kunoinatsa kubva pakubata kana tsoka dzaSatani dzingadai dzakasiiwako naRusifa.
Ropa raJesu riri pachigaro chenyasha Kudenga ndiro rega nzira yedu yekuregererwa zvivi.
54-0515 MIBVUNZO NEMHINDURO
Mumashure mekukwira kudenga, Jesu Kristu, arovererwa, kunatswa kwenzvimbo tsvene.
64-0629 MWARI WEMASIMBAOSE ACHIZIVISWA PAMBERI PEDU.
Zvino, chidzitiro pachakabvaruka nepakati paCalvari, Ropa richiyerera. Sezvo vaive vatora Ropa, pagore rega rega, pakunatswa kwenzvimbo tsvene nekumwaiwa kwenzvimbo tsvene, ipapo, Mwari, nesimba rake guru rinopenya rakaita semheni, akabvarura chidzitiro napakati kubva kumusoro kusvika pasi, chigaro chenyasha chikauya pachena pachinoonekwa.
Gwaiana raMwari chairo, rechokwadi raive rakaturikwa pachena paionekwa nemunhu wese paCalvari, Chigaro cheNyasha chechokwadi, pakaripirwa muripo naMwari, Iye Pachake; akava Mumwe wedu, akazviratidza seMunhu, kuti afambe sesu, isu tifambe Naye. Chigaro cheNyasha chaive pachena chichionekwa nevaIsraeri vose pazuva reKukanganwirwa.
61-0618 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANHU .2
… Kubva pakutanga kwezuva rekutanga rekunatswa kwenzvimbo tsvene, kana pakaenda Kristu paCalvari, pakava nemazuva makumi mana kusvika pakukwira Kudenga.
DANIERI 8:14 Akati kwandiri: Kusvika madekwana namangwanani anezvuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
Kutenda kwaAbrahama kwaive pakumuka kwevakafa.
Abrahama, Isaka, Jakobo naJosefa vose pachinzvimbo vakavigwa muNyika yechipikira. Vaiziva kuti kuchava nerumuko. Vatsvene veTestamente yekare vakamutswa vose mumashure mekumuka kwaJesu.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzira zve nenzwi guru, akarega Mweya wake.
51 Ipapo tarira, chidzitiro cheTembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvika pasi, nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
52 Mabwiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutswa.
53 Vakabuda pamabwiro, iye amuka, vakapinda muguta dzvene, vakavonekwa navazhinji.
Saka Jesu akamutsa vatsvene veTestamente Yekare mumashure mekumuka kwake.
Kuziva kuti kuchava nerumuko muNyika yeChipikirwa, Abrahama Isaka naJakobo naJosefa vose vakaenda kunovigwa ikoko.
Jakobo akaraira vana vake kuti vamuvige munyika yechipikirwa kwakavigwa Abrahama naIsaka.
GENESISI 49:29 Akavaraira, akati kwavari: Ini ndobva ndosonganiswa navanhu vangu; mundondiviga kunamadzibaba angu mubako riri mumunda waEfroni muHeti,
30 Bako riri mumunda waMakpera, pakatarisana neMamre, panyika yaKanani, riya rakatengwa naAbrahama pamwechete nemunda wekunaEfroni, muHeti, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yake yokuviga.
31 Ndi’po pakavigwa Abrahama naSara, mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRebeka, mukadzi wake, ndipo pandakaviga Rea
Josefa akataura naFarao.
GENESISI 50:5 Baba vangu vakandipikisa, vachiti: Tarira, ndofa; mubwiro mandakazvicherera muKanani, ndi’mo maunofanira kundiviga’mo. Naizvozvo zvino donditenderai henyu kuti ndikwire, ndindoviga baba vangu, ndigodzoka.
GENESISI 50:13 Nokuti vanakomana vake vakandomuisa munyika yeKanani, vakamuviga mubako romunda waMakpera, riya rakatengwa naAbrahama, pamwechete nomunda kunaEfroni muHeti, pakatarisana neMamre, kuti zvive zvake, ive nzvimbo yokuviga.
GENESISI 50:24 Josefa akati kuhama dzake: Ndofa asi Mwari uchakumutsai zvirokwazvo, nokukubudisai panyika ino, muende kunyika yakapikirwa Abrahama, naIsaka naJakobo.
25 Josefa akapikisa vana vaIsraeri, akati: Mwari uchakumutsai zvirokwazvo, nemi mutakure mapfupa angu abve pano.
EKSODO 13:19 Mosesi akatora mapfupa aJosefa, akaenda nawo, nokuti wakanga apikisa vana vaIsraeri, achiti: Zvirokwazvo Mwari uchakushanyirai, muchabva pano, mugoenda vo namapfupa angu.
JOSHUA 24:32 Mafupa aJosefa akanga avuya navana vaIsraeri pakubuda kwavo Egipita vakaaviga paShekemi, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobo kuvana vaHamori, baba vaShekemi, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
Pauro akabva anongedzera “mwana” mumwechete saka nekudaro sungano inoreva Jesu.
VAGARATIA 3:16 Zvino, izvo zvipikirwa zvakarehwa kunaAbrahama nokumwana wake. Haarevi achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji, asi saanenge ari mumwe, unoti: Kumwana wako, uyu ndiye Kristu.
17 Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti: Sungano yakasimbiswa kare naMwari haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.
Mwari akaita sungano naAbrahama akaizadzisa muna Kristu apo Jesu akakurira zvivi, akanatsa nzvimbo tsvene yekudenga neRopa rake, akamutsa vatsvene veTestamente Yekare.
Mwari akaita sungano naAbrahama nemazera matatu aive muchivuno make. Isaka, Jakobo nevana vaJakobo gumi nevaviri. Juda aive nemutsetse wehumambo Revi aive nemutsetse wehuprista kwaari ndiko kwakabva mutsetse wemaprista Aroni nevana vake. Kwaive kusina munhu mumwechete aigona kuva nesimba rehumambo zvese nehuprista ari oga. Simba rinovodza.
VAHEBERU 7:9 Zvino tingati, naRevi, unopiwa zvegumi, iye vo wakapa zvegumi muna Abrahama.
Revi muzukuru zukuru waAbarahama.
Abrahama semunhurume akatakura mazera matatu aitevera muchivuno chake.
Munhu mumwechete chete aikwanisa kuva muPrista naMambo pamwechete aive Jesu. Akaita kuti chiprista chaAroni chipere simba nekuita sungano itsva yerudzi rwaMerkisedeki. Akaberekwa ari mambo kubva murudzi rwaJuda.
Merkisedeki aive Mwari. Asi Mwari akazvisikira Muviri wemunhu mukuru kubva muguruva. Nekufamba kwenguva Muviri uyu waizodzokera kuguruva apo Mweya waMwari waive usisadi Muviri uyu.
Mwari akaita sungano naAbrahama yekuti kubva panaAbrahama nevana vake veropa vekubereka vaizova rudzi rwevaJuda.
Jesu aive Mwari. Akazvipa sechibairo kuti aripire zvivi zvedu.
Abrahama nevana vake vakazova yanano pakati paMerkisedeki naJesu. Zviitiko zviviri zvega apo munhu mumwechete akabatanidza mabasa maviri raMambo nereMuprista Mukuru.
Ngatitarisei zvakare paGwaro rakaoma iri rinotaura pamusoro penguva yakasarudzika.
DANIERI 8:14 Akati kwandiri: kusvikira madekwana namangwanani anezvuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.
Tinogona here kubuda nechimwechete chekuti kwaive nemakore 2300 kubva pakuzvarwa kwaIsaka kusvika pakufa kwaJesu?
MaJuda akavuraya Messiasi wavo aive Mwanakomana waAbrahama wechipikirwa wemweya paCalvari. Mwari akabva amira kushanda nemaJuda serudzi rwese. Mumashure maizvozvo Mwari akatanga kushanda nevaHedeni munhu mumwe nemumwe kubva pakuponeswa kwemunhu akazvimiririra.
Mwana waAbarahama wechivimbiso wekutanga aakaita aive Isaka akaberekwa apo Abrahama aive akwanisa makore zana.
Mwari akadana Abrahama ava nemakore 75 ekuberekwa, mumashure mekufa kwababa vake Tera paHarani.
GENESISI 11:32 Mazuva aTera akanga ari makore anamazana maviri namashanu; Tera akafira Harani.
GENESISI 12:4 Naizvozvo Abrahama wakaenda sezvaakaudzwa naJEHOVA; naRoti wakaenda naye. Abrahama wakanga anamakore anamakumi manomwe namashanu pakubva kwake Harani.
Ngatitsvagei zuva rinokodzera kubva kunhorondo kuti rimire sechinongedzo pakuverengedza kwedu.
Vanhu venhorondo vakasiyana vanowanzoti kutanga kwekutonga kwaSoromoni kwaive pamakore akapoteredza 960 BC, kana 970 BC, kana 986 BC, kana 992 BC. Vakabvuma kuti zvaive zvakaoma kuti vawane misi chaiyo. Izvi zvinogona kuonekwa kubva pakupatsanurwa kwemazuva munguva yemakore anoda kukwana makumi matatu akabuda apa.
Tichaedza kuisa kuzvarwa kwaIsaka pane umwe musi tobva tabatanidza misi yemuBhaibheri toona kuti tinokwanisa here kuwana musi mumwechete kubva pakutanga kutonga kwaSoromoni. Kana izvi zvikaitika, ipapo zuva rinenge rabuda rekuzvarwa kwaIsaka rinenge riri rechokwadi.
Misi yaive yakangogara yakatarwa nepanotanga mambo kana mubati kutonga.
Augustus ndiye akaita mubati weRoma ane mbiri akafa muna 14 AD. Misi iyi yakasimbiswa kuti ndeyechokwadi.
Mwanakomana wake wekurera Tiberio akatanga kutonga muna 14 AD apo seneta weRoma akatendera kuti ave mubati.
RUKA 3:1 Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, ...
2 … Shoko raMwari rakauya kuna Johane, Mwanakomana waZakaria, murenje.
Saka 14 + 15 =29 AD. Iri ndiro gore rakatanga kuparidza Johane Mubapatidzi.
Mwedzi yakati kuti yadarika Jesu akauya kwaari kuti abapatidzwe. Ipapo 29 AD aive akuda kutopera.
RUKA 3:23 Zvino iye Jesu wakanga anemakore anenge makumi matatu;
Misi iyi yapindirana zvakanaka. Yaive yakuda kukwana 30 AD Jesu aive akuda kusvitsa makore 30.
Saka Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu akaberekwa mugore zero. Panotangira karenda redu.
Jesu akauya kuzosimbisa sungano yakaitwa naMwari kunaAbrahama nevana vake.
Jesu aifanira kuita hushumiri hwemakore manomwe. Asi mumashure memakore matatu nehafu maJuda akamuramba vakamuuraya.
DANIERI 9:27 Zvino iye uchaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe: pakati pevhiki uchagumisa chibayiro nechipo;
Vhiki rinokwanisa kumiririra makore manomwe muBhaibheri.
Vasori vemaJuda vakaita mazuva makumi mana vachisora Nyika yechipikirwa vakasiya. Saka Mwari akavaita kuti vadzungaire murenje kwemakore makumi mana .
NUMERI 14:34 Samazuva amakanga muchishora nyika nawo, iwo mazuva anamakumi mana, saizvozvo vo muchava nemhosva yekutadza kwenyu, zuva rimwe nerimwe richaita gore rimwe, ndiwo makore anamakumi mana, mugoziva kuti ndakakufuratirai.
Kana hushumiri hwaJesu hwakatanga gore 30 AD risati ratanga hukaita makore matatu nehafu saka anenge akafa mugore 33 AD.
2300 / 70 = 33 2300/70 =33
Saka makore emuBhaibheri 2300 anofanana nekuti 2300 -33 = 2267 emakore edu isu epakarenda reRoma echiHedeni.
Kubvisa gore 33 AD kuti tibve paCalvari kusvika pagore zero pakazvarwa Jesu.
2267 – 33 = 2234 makore BC
Ngatitii Isaka akaberekwa muna 2234 BC.
(Kurerutsa zvinhu, makore eBhaibheri emazuva 360 ndiwo achashandiswa sekunyorwa kwazvakaitwa muBhaibheri.
GENESISI 25:26 Pasure munun’una wake akabuda, ruvoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobo; Isaka wakanga anamakore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
Score rakashandiswa muBhaibheri reChirungu zvinoreva kuti 20. saka Isaka waive anamakore makumi matanhatu pakaberekwa Jakobo.
Zera rinotevera harina chokwadi chaicho.
GENESISI 41:46 Zvino Josefa wakanga anamakore makumi matatu , nguva yaakamira pamberi paFarao, akafamba akapota nenyika yose yeEgipita.
Josefa akaprofita makore manomwe emaguta achiteverwa nemakore manomwe enzara.
GENESISI 41:47 Nyika ikabereka zvizhinji-zhinji makore manomwe amaguta.
48 Akavunganidza zvokudya zvose zvamakore manomwe, akanga aripo panyika yeEgipita, akaviga zvokudya mumaguta; zvokudya zveminda yakanga yakapoteredza guta rimwe nerimwe, wakazvivigamo.
Nenguva yakapera makore manomwe emaguta Josefa aive akwanisa makore 30+7 =37 okuberekwa.
GENESISI 41:29 Tarira kunovuya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeEgipita.
30 Shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeEgipita; nzara ichapedza nyika.
Mumashure mekutanga kwenzara, vakoma vaJosefa vakauya kuEgipita kuzotsvaga chekudya. Josefa akati kwaive kuchiri nemamwe makore mashanu enzara.
GENESISI 45:11 Ndichakuchengetai’po, nokuti mamwe makore mashanu enzara achi’po.
Saka makore maviri enzara aive adarika, saka Josefa aive ava nemakore 37+2 =39 ekuberekwa.
Vakoma vake vakaenda kunotora baba vavo vakazomira pamberi paFarao vachiti vaive vava nemakore 130 ekuberekwa.
GENESISI 47:8 Farao akati kuna Jakobo: Manganiko mazuva amakore ovupenyu bwenyu.
9 Jakobo akati kunaFarao: Mazuva amakore ovutorwa bwangu makore ane zana namakumi matatu:
Saka Jakobo aive nemakore 130 apo Josefa aive nemakore 39.
Saka Jakobo aive nemakore 91 pakaberekwa Josefa.
Zvino Isaka aive nemakore 60 pakaberekwa Jakobo.
Jakobo aive ne 91 pakaberekwa Josefa.
60 + 91 = 151 makore aive adarika kubva kuzvarwa kwaIsaka kusvika kuzvarwa kwaJosefa.
GENESISI 50:26 Ipapo Josefa akafa, ava namakore anezana negumi:
151 + 110 = 261 makore aive adarika kubva kuzvarwa kwaIsaka, kusvika pakufa kwaJosefa.
Josefa ndiye aive zera rekupedzisira revana vaAbrahama vaive vari muchivuno chaAbrahama pakaitwa sungano naMwari kuna Abrahama nevana vake. Saka sungano yaizoshanda kuna Abrahama Isaka Jakobo naJosefa.
Josefa paakafa sungano yakaitwa naMwari kuna Abrahama yaive yapera.
GENESISI 15:13 Akati kunaAbrahama: Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo; vachatambudzwa makore anamazana mana.
MaJuda havana kutambudzwa Josefa ari mupenyu.
Vaifanira kumiririra Farao aisaziva Josefa kuti atange kutonga. Izvi zvakaitika makore makumi matatu akazotevera.
EKSODO 1:8 Zvino paEgipita pakamuka mumwe mambo mutsva, wakanga asina kuziva Josefa.
EKSODO 1:11 Naizvozvo akagadza pamusoro pavo vatariri vebasa kuti vavanetse nemirimo yavo.
EKSODO 12:41 Pakupera kwamakore anamazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJEHOVA dzakabuda munyika yeEgipita.
Kwakaita makore makumi matatu erugare nemakore mazana mana ekutambudzwa muEgipita maJuda asati abudamo.
261 + 430 = 691 makore akanga adarika kubva kuzvarwa kwaIsaka kusvika pakabuda maJuda muEgipita. Soromoni akatanga kuvaka Tembere mugore rake rechina.
I MADZIMAMBO 6:1 Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kwekubuda kwavana vaIsraeri panyika yeEgipita, pagore rechina rokubata vushe kwaSoromoni pakati paIsraeri, nomwedzi wezifi, ndiwo mwedzi wechipiri, wakatanga kuvaka imba yaJEHOVA.
Saka makore 480 mumashure mekusununguka kubva kuvaEgipita, vakatanga kuvaka Tembere.
Asi mumazuva evatongi vairwadziswa nekutambudzwa kwemakore anosvika 111 nemarudzi evatorwa aive akavapotereza. Mumakore iwayo vaive vadzokera pakutambudzwa sezvavaive muEgipita.
Mwari haaverengi makore aya sezvo vavengi vavo ndivo vaivatonga.
Naizvozvo maJuda vaive vasingararame nemurairo wavo. Vaive pasi pejoko revuranda saka vaifanira kubatira nekuterera mapegani vavengi vavo.
Saka makore 480 akava 480 + 111 = 591
Ngatisanganisei makore 111 aya ekutambudzwa asina kuverengwa.
VATONGI 3:8 Saka kutsamwa kwaJEHOVA kwakamukira vaIsraeri, akavatengesa muruvoko rwaKushani-rishataimi, mambo weMesopotamia; vana vaIsraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere.
VATONGI 3:14 Vana vaIsraeri vakashumira Egroni, mambo waMoabi, makore anegumi namasere.
VATONGI 4:3 Zvino vana vaIsraeri vakachema kunaJEHOVA, nokuti wakanga anengoro dzamatare dzinamazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsraeri kwazvo makori anamakumi maviri.
VATONGI 6:1 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJEHOVA: JEHOVA akavaisa mumavoko aMidiani makore manomwe.
VATONGI 10:7 Ipapo kutsamwa kwaJEHOVA kwakamukira vaIsraeri, akavatengesa mumavoko avaFristia, nomumavoko avana vaAmoni.
8 Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJoridani munyika yavaAmori, yaive paGireadi, makore anegumi nemasere.
VATONGI 13:1 Zvino vana vaIsraeri vakaita zve zvakaipa pamberi paJEHOVA, JEHOVA akavaisa mumavoko avaFristia makore anamakumi mana.
8 + 18 + 20 + 7 + 18 + 40 = 111 emakore.
Aya aive makore eku rwadziswa vachibatira nekuterera vavengi vavo aive asingaverengwi achinzi vairarama vakasununguka muNyika yeChipikirwa pasi peMurairo waMwari.
Todzokera pakabuda maJuda muEgipita.
I MADZIMAMBO 6:1 Zvino pagore ramazana mana namakumi masere shure kwekubuda kwavana vaIsraeri panyika yeEgipita, pagore rechina rokubata vushe kwaSoromoni pakati paIsraeri, nomwedzi wezifi, ndiwo mwedzi wechipiri, waakatanga kuvaka imba yaJEHOVA.
Makore 691 mumashure mekuberekwa kwaIsaka. MaJuda akabva muEgipita.
Kubva pakuzvarwa kwaIsaka 691 + 591 = 1282 makore akavapo kusvika pakutanga kuvakwa kweTembere.
Mukashandura makore eBhaibheri kumaisa kumakore edu evaHedeni 1282 / 70 = 18 anenge ari mashoma nemakore gumi nemasere.
1282 – 18 = 1264 makore evaHedeni.
Kana Isaka akaberekwa muna 2234 BC Soromoni anenge akatanga kuvaka Tembere muna 2234 -1264 = 970 BC.
Saka Soromoni anofanira akatanga kutonga makore mana izvi zvisati zvatanga muna 974 BC.
Venhorondo vazhinji vane misi yekutanga kutonga kwaSoromoni yakapararira pakati pemakore 960 BC negore 992 BC.
Saka musi wedu watinawo wa 974 BC unobvumirana navo zvinoshamisa.
Saka makore 2300 anobata makore kubva pakuzvarwa kwaIsaka kusvika pakunatswa kwenzvimbo tsvene neRopa raJesu paCalvari.
Apa ndipo pakazadziswa Sungano naJesu, pachikamu cheMweya chakadzama kwazvo, yakaitwa naMwari kuna Abrahama muzvikamu zvenyama.
GENESISI 14:18 Merkisedeki Mambo waSaremi, akavuya nechingwa newaini; iye wakanga ari muprista waMwari woKudenga-denga.
Merkisedeki Muprista uye Mambo akapa Abrahama chingwa neWaini.
Josefa aive mutorongo nemubiki wechingwa nemudiri wewaini.
Jesu Muprista Mukuru werudzi rwaMerkisedeki akapa vadzidzi vake chingwa newaini pachirayiro chekupedzisira.
Jesu akagura chingwa. Mubiki wechingwa akauraiwa naFarao.
Pakupedzisira, pamagumo maJuda akaprofitwa kuti achatora zvakare Nyika yavo yeChipikirwa yavakadzingwa kubva mairi nemaRoma muna 70 AD.
GENESISI 14:20 Aka (Abrahama) mupa (Merkisedeki) chegumi chezvose.
Abrahama akakumbira chinhu chimwechete, kuti Eshkori apuhwe mugove.
GENESISI 14:24 … Nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshkori, naMamre, ngavatore migove yavo.
Abrahama akapa chegumi akakumbira kuti Eshkori apuhwe mugove. Kumberi muzukuru-zukuru waAbrahama Revi aipuhwa chegumi.
Makore anoda kukwana 4000 kumberi muna 1967 muhondo maJuda akakurira akadzoserwa chidimbu chikuru cheNyika yavo yeChipikirwa. Mutungamiri wenyika yeIsraeri ipapo aive Revi Eshcol (Eshkori).
Nguva yekuripira chegumi chaAbrahama yakatora makore 4 000, asi zvakaitika. Eshkori zvakare akawana mugove wake.
Hakuna chinhu chakanatswa uye chakarurama seShoko raMwari.
Abrahama haana kubvira agunun’una kupa chegumi.