Muchero wakarambidzwa – Zvinonyatsorevei?



Nei tese takaberekerwa muzvivi? Ndeipi yaive imwe nzira yekuzadza nayo nyika nehupenyu husingagumi?

First published on the 11th of April 2022 — Last updated on the 11th of April 2022

Saka zano raMwari raive rei pamusoro peEdeni?

 

Mwari aiteya nheyo dzehupenyu husingagumi. Hakuna chinhu chaizofa zvachose. Rudzi rwevanhu rwakawira kubva pachidanho chepamusoro soro ndicho chikonzero nei takavenga rufu. Pasi pasi pemoyo tinoona kuti hatina kubvira tada kuchembera nekufa. Hatina kubvira tasikirwa kuva varanda venguva kubva pakutanga.

Pakutanga Mwari akasika munhu wemweya Adamu kubva pasina kuna Genesisi Chitsauko chekutanga.

Adamu aive nehumwe hunhu hwechikadzi mumweya wake.

Mwari Mweya, kuti ave mumufananidzo waMwari, Adamu aifanira kuva Mweya.

GENESISI 1:26 Mwari akati: Ngatiite munhu no­mufananidzo wedu, akafanana nesu;

Rudzi rwevanhu rwaive naMwari pakutanga. Tese taive mundangariro dzaMwari.

Hunhu hwedu isu vanhu hwakanaka hwacho hunobva kuna Mwari.

 

 

ZVAKAZARURWA 13:8 Vose vanogara panyika vachachinamata, ivo vasinakunyorwa mazita avo mubhuku yeGwaiana rakabayiwa kubva pakusikwa kwenyika.

Saka Mwari ndiMweya asi maivewo nehunhu hwevanhu Maari.

GENESISI 1:27 Mwari akasika munhu nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.

Saka Adamu aive akanyanya kurerekera mumweya wechirume asi maari maivewo nehunhu hwemunhu kadzi.

GENESISI 5:2 Wakavasika murume nomuka­dzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.

 

 

Zvakafanana nekuti hunhu hwevanhu hwaive muna Mwari, Mwari akasika Adamu ari mweya wechirume une hunhu hwechikadzi mauri.

Kusika zvinoreva kuti kuita kubva pasina. Saka vaiva zvisikwa zvemweya. Mweya wemunhu wakanaka wakabva muMweya waMwari. Zita ravo vakabatana raive Adamu. Mweya Mumwechete.

Muviri wenyama hauna kusikwa kubva pasina nekuti wakaitwa neguruva.

 

Mwari aida kuwanda kweMweya

 

GENESISI 1:28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi;

Vaive vachiri zvisikwa zvemweya. Mweya wemunhu waive usati waiswa mumiviri yevanhu.

Kuwanda zvairevera kuwedzera pamweya.

Vaisaziva kuti zvairevei.

Vaizofanira kumirira Mwari kuti azadzise izvozvo. Zvakafanana nekuti tinofanira kumirira Kuuya kwaShe. Hatigoni kuzvipfuudza. Danieri akaona Kuuya kwaShe kwakaita sedombo rakatemwa pasina ruvoko rwemunhu. Kuuya kwaShe hakudi rubatsiro rwevanhu.

DANIERI 2:34 Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa-putsa.

 

 

“Berekanai” raive gwara rekuwanda kwemweya.

GENESISI 1:11 Mwari akati: Nyika ngai­merese uswa nemiriwo inobereka mbeu, nemiti inobereka michero inamarudzi ayo, mbeu dzayo dziri mukati mayo, panyika; zvikaita saizvozvo.

“Kubereka” zvinoreva kuti mbeu iri mukati memuchero.

Micherechedzo iyi inorevei?

RUKA 1:42 Akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa!

Zvakafanana nemhodzi dzeapura dziri mukati meapura racho, saka Mbeu yeShoko raMwari yaive muMuviri waJesu iye ari mudumbu raMaria.

 

 

Mwanakomana anoberekwa nemhandara aive Mwana kana chibereko chemimba yaMaria.

Mai vacho ndivo muti wemuchero

RUKA 8:11 Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari.

Kuberekana, Maria aifanira kubereka mwana ane mbeu mukati make. Anofanira kubereka Mwana ane Shoko raMwari rakazara Maari. Emanuere, Mwari anesu.

MATEO 1:23 Tarira mhandara ichava nemimba, ichazvara Mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri, ndokuti kana zvichishandurwa, Mwari unesu.

Izvi zvaidiwa pakuberekana pamweya.

Mwari ndiMweya unoshamisa asiwo ane hunhu hwevanhu hwaaida kuratidzira mumuviri wemunhu.

Kuna Genesisi Chitsauko chekutanga, Mwari aive aisa hunhu hwe chikadzi mumweya wechirume waive waAdamu.

Kuna Genesisi Chitsauko 2, Mwari anoisa mweya wemunhu Adamu mumuviri wenyama wemunhurume.

Nekufamba kwenguva akabvisa hunhu hwechikadzi kubva muna Adamu akahuisa mumuviri wahwo wega.

GENESISI 2:7 JEHOVA Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.

Muchitsauko chechipiri chete ndimo makazowonekwa Adamu ava nemuviri wenyama.

GENESISI 2:9 JEHOVA Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zva­kanaka nezvakaipa

Apa Adamu aive ava mumuviri wenyama, aikwanisa kuedzwa. Saka Mwari akamuyambira pamusoro pemiti miviri yaive yakarukaniswa pakati pemunda. Uyu mucherechedzo wei?

 

Hakuna muti unomera pasi unogona kukupai hupenyu husingagumi

 

Hakuna muti unobereka michero unogona kukuitai vakachenjera.

Hakuna muti unobereka michero unogona kukuitai kuti muzive musiyano uri pakati pechakanaka nechakaipa.

Muti wehupenyu “waivewo” pakati pemunda weEdeni, zvichireva kuti paivewo nechimwe chinhu pakati pemunda. Muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.

GENESISI 3:22 Zvino JEHOVA Mwari akati, "Ta­rirai, munhu ava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvi­mwe angatambanudza ruoko rwake aka­torawo zvomuti woupenyu, akadya, aka­rarama nokusingaperi."

Tsime rimwechete rehupenyu husingagumi ndiJesu Kristu. Saka ndiye Muti weHupenyu.

Adamu aive atadza. Mwari vaisada mutadzi anorarama nekusingagumi.

Kana munhu aisafa zvachose, Mwari aisazomufira pachinzvimbo pake achiripira zvivi zvake. Izvi zvaizosiya vanhu vakatukwa uye vakaraswa .

JEREMIA 17:7 Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJEHOVA, wakaita JEHOVA chivimbo chake.

8 Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi,

Muti mucherechedzo wemweya wemunhu akarurama. Mweya iwoyo haufambi kubva parwizi rweHupenyu, runova irwo Bhaibheri.

Kana Jesu ari Muti wehupenyu, Satani ndiye mweya wehunyengeri wezvakanaka nezvakaipa.

Judasi aive mupostora (mutungamiri wekereke, saka akanaka) aivewo mudi wemari (akaipa). Mubatanidzwa wezvakanaka nezvakaipa unoipisa kwazvo.

Zvino Mwari akabvisa hunhu hwaAdamu hwechikadzi akahuisa mumunhu akazvimiririra ane muviri wechikadzi.

 

Nyama neropa hazvigoni kugara nhaka yehushe hwaMwari

 

Hakuna chinhu chine ropa machiri chinorarama nekusingagumi.

I VAKORINTE 15:50 Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari;

Saka kwaive kusina ropa mutsinga dzaAdamu nemukadzi wake.

Mweya Mutsvene waifamba mutsinga dzavo, uchivararamisa.

GENESISI 2:23 Munhu akati, "Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama ya­ngu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wa­kabviswa paMurume."

Hakuna kutaurwa nezveropa.

Pasina ropa, hapana kusangana pabonde sezvo nhengo dzeemurume dzichida ropa kuti dzimire. Saka vaive vasingazivi zvachose kuti vaive vakashama.

GENESISI 2:25 Vose vari vaviri vakanga vasina kusi­mira, munhu nomukadzi wake, asi ha­vana kunyara.

Kwaive kusina rudo rwekusangana pabonde pakati pavo.

Kuna Genesisi Chitsauko 1, Adamu nemukaddzi wake vaive vanhu vemweya. Kusangana pabonde hakuitiki nemweya. Kunoitika chete memiviri yenyama.

Saka muChitsauko 1, Mwari akaudza munhu wemweya wechirume nechikadzi kuti awande azadze nyika. Izvi zvinoreva kuwanda pamweya. Izvi havana kuzvinzwisisa.

Saka chavaikwanisa kuita kwaive kumirira kusvikira Mwari aunza zano rake kuti riitike. Dai vaive vakaita chimwe chinhu, zvaizova zvakaipa sezvo ndangariro dzaMwari dzakakura kudarika dzedu. Hatigoni kuziva zvinofungwa naMwari.

Saka kana Mwari akavaisa mumiviri miviri yakasiyana kuna Genesisi 2, aive atoyambira Adamu kare pamusoro pemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.

“Kuzivana” kutsanangurwa kunoitwa kusangana pabonde.

GENESISI 4:1 Zvino Adamu wakaziva mukadzi wake Eva; iye ndokutora mimba,

Saka tichiwedzera, Mwari akapa mukadzi chidzitiro chehumhandara, kuti chichengetedze kuti vazive kuti kusangana pabonde kwaive kusiri kuda kwaMwari kwakarurama. Hupenyu husingagumi haugoni kupihwa kuvana vanoberekwa nekusangana pabonde.

Adamu paakaiswa mumuviri wenyama kuna Genesisi Chitsauko 2, Mwari akayambira Adamu pamusoro pemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa. Adamu paaive mweya kuna Genesisi chitsauko 1 kwaive kusina mukana wekusangana pabonde saka kwaive kusina yambiro. Miti yose yaive yakanaka kuChitsauko 1. Kwaive kusina “chakaipa” kana muti wemuchero wakamborambidzwa.

Saka muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa waive usiri muti unomera uchikura pasi. Waive mweya waSatani. Ruzivo rwake rwaive rwakaipa rwuchiuraisa.

Nei vakapihwa nhengo dzekushandisa pakusangana pabonde?

Chiremerera hachirevi chinhu kana pasina miyedzo nezvipingaidzo nekuti hakuna bope kana pasina muvengi, hakuna kukunda pasina dambudziko.

Chiremerera chinowanikwa chete semubairo wehondo yakasimba yekurwisa muvengi.

Kutsungirira kunobva pakuedzwa isu hatigoni kuzvidzivisa.

Hunhu haugoni kupihwa kumunhu. Hunhu hunogadziriswa pakuwana kukunda nekuomerwa.

Kana pasina hondo, hapana kukunda.

Kutenda kunokura chete kana takatarisana nezviitiko zvatisingagoni kugadzirisa.

 

Tinoda muvengi kuti tigadzirise hunhu hwedu

 

Kuda kwendangariro dzemunhu kunobereka shungu dzekuda kuziva. Tinoda kuziva zvakawanda. Asi kusaziva kwedu isu vanhu zvinoreva kuti tinoda gwara pazvitendero zvedu nekuita kwedu. Makwara aya anowanikwa muShoko raMwari ratinofanira kudzidzira kuvimba mariri.

Tinofanira kudzidza kutevera nzira dzakaoma.

Kuda kwedu ndiko chikamu chakakoshesesa chendangariro dzevanhu. Kana tisina sarudzo dzedu tinenge tiri marobhoti.

Mwari anogona kutimanikidza kuita zvinhu nekuti tinenge tichifanira kuzviita. Asi zviri nani kwazvo kana tiine ndangariro dzinoda kuita izvozvo nekuda kwedu isu tega.

Asi kunogona kushaikwa kuda kwedu kunze kwekunge kuine miedzo inouya iri imwe sarudzo yatinogona kusarudza kana tada hedu.

Kana ndichida kuti utaure chokwadi, nekuda kwako, ndinofanira kusiya mari yakangotsvetwa paunowana mukana wekuiba. Kaka usina kana mukana wekuba chinhu, handimbofe ndakaziva kuti wakavimbika here kana kwete.

Pamagumo ehondo, Hitira nevanhu vake vakange vari muuvando hwepasi pevhu. Akavarambidza kuputa. Saka vaisaputa zvisinei nekuti vaive nefodya yacho. Hitira akafunga kuti vose vaive vamira kuputa saka akafara nemutemo wake. Paakafa, chinhu chavakatanga kuita kutora fodya yavo vachibva vaputa zvakare. Saka kwaive kurasisa chete kuita kunge vasiya kuputa.

Mwari haadi kuti rudzi rwevanhu rumuterere zvekunyengera nekuti vanenge vanzi vamuteerere. Mwari anoda kuti vanhu vamuterere kubva pasi pemoyo yavo nekuti ndizvo zvinenge zvichidiwa nemunhu kuti aite.

Muchaziva chete zvemazvirokwazvo zvamunoda kuita kana mukagona kuramba muedzo wechinhu chinoratidzika zviri nani uye chakanaka. Nekuvapa nhengo dzekusangana pabonde nadzo, Mwari aipa rudzi rwevanhu muedzo mukuru kwazvo kuti vasateerere Mwari, kana vachida havo.

 

Kuwanda nekusangana pabonde kuzere matambudziko

 

Kune zvivi zvakawandisa zvepabonde zvakaitwa panyika kudarika zvimwe zvivi zvese.

Ndiyo nzira yakaipa yekuti vakawanda kwazvo vanoda kuitevera. Nzira iyoyo vanhu vanozvibvisa pazano raMwari kana vasingatevere Mwari.

Ngatitii Mwari aida kuti Adamu naEva vabereke vana nekusangana pabonde.

Vana ivavo vaizova vasina hupenyu husingagumi. Vabereki havagoni kupa vana vavo hupenyu husingagumi.

Adamu akararama makore anodarika 900 akaita vanakomana nevanasikana. Saka vana vangani vangazvarwe? Vakawandisa. Vana ava vaisazofira mukuda kwaMwari kwakarurama. Zvaizotora nguva yakareba sei kuti nyika izarise zvakapfurikidza nevanhu? Yaisazova nguva yakareba zvachose.

Iyi yaive isiri nzira yaizoshanda nekusingagumi. Yaive isiri nzira yekurarama nekusingagumi.

Dai Mwari akaisira mhuri muganhu aizova achitora kuda kwesarudzo dzavo dzekuva nevana vakawanda madiro avo. Asi simba rekuzvisarudzira ndiro raidiwa naMwari kuti vanhu vave naro.

Zvirwere zvekusangana pabonde zvakonzeresa bope pakati pevanhu. Zvimwe zvacho zvakafanana nemukondombera hazvitorapiki.

Kubatwa chibharo, chipfambi, hupombwe, chihure, kuchivana, kushungurudzwa kwemadzimai, hungochani, nekubatwa zvakaipa kwevana ndizvo zvimwe zvezvinhu zvakavapo totenda kusangana pabonde kwakaziviswa nesarudzo dzevanhu.

Saka kuwanda kupfurikidza kusangana pabonde hachisi chinhu chakanaka zvachose.

Mwari anofanira kuva aive nezano riri nani kubva pakutanga.

Paakaisa Adamu naEva mumiviri yenyama, Mwari aida kuti vafanane naJosefa naMaria. Hapana chakaitwa naJosefa naMaria kunze kwekumirira Mwari. Mwari ndiye aizotanga kufamba.

Mumashure mekunge Adamu nemukadzi wake vaiswa muEdeni, Mweya Mutsvene waizozadza mukadzi obereka Mwanakomana anoberekwa nemhandara. Aizosikwa mumimba make, asina chaaifanira kuita nemuviri wake iye, angori mutakuri chete weMwana anokura maari.

VAHEBERU 10:5 ... Asi makandigadzirira muviri

RWIYO RUKURU RWASOROMONI 4:12 Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.

Munda mucherechedzo wemukadzi. Ruzhowa runoiswa kupoteredza munda kuti uchengetedzeke. Mukadzi anoda kuchengetedzwa. Tsime rehupenyu husingagumi rinogona chete kubva kumukadzi achiri mhandara kana kuti akachengetedza husikana hwake.

GENESISI 2:9 Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zva­kanaka nezvakaipa.

Munda unomiririra mukadzi. Pakati pemunda ndipo pakati pemuviri wake. Ndipo pane chibereko chake. Aikwanisa kuunza hupenyu husingagumi kana abereka ari mhandara. Kana kuti aikwanisa kuunza hupenyu hune hunhu hwese hwakanaka nehwakaipa, hunofanira kufa.

Zvakanaka nezvakaipa. Zviito zvishoma kwazvo nhasi zvinogona kutsanangurwa sezvakanaka nezvakaipa. Asi bonde ndicho chinhu chimwechete chinogona kutsanangurwa saizvozvo. Chero zvazvo kusangana pabonde kwakanaka asi vanhu vasati varoorana kana kuti kunze kwewanano, pakati pemurume nemukadzi, zvakaipa.

Mwari naSatani vachikwikwidzana kuti vawane dumbu remukadzi.

SaMikaere Mutumwa Mukuru, Mwari aive arwa naSatani Kudenga vakamutuka nekumuita Diaborosi.

MuEdeni, Mwari aizotuka nyoka kubva pakuva mhuka yepamusoro soro yaigona kutaura nekufunga vakaishandura kuita nyoka ine rurimi rwakatsemuka pakati, kutsanangurwa kunoitwa murevi wenhema pachinyakare. Nhasi nyoka ichiri nehuturu hwakaipa mumuromo mayo. Nhema dzayakaudza Eva dzaive dzakaipisisa.

Hakuna muMagwaro pakambogona Diaborosi kuita kuti mhuka itaure. Mhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka, semhuka yepamusoro soro yaigona kutaura.

 

Eva aifanira kuzvara Jesu ari Mwanakomana akaberekwa nemhandara

 

Kuzara kwaMwari kwaizova maari.

ISAYA 7:14 Naizvozvo Ishe amene achakupai chiratidzo. Tarirai, mhandara ichava napamuviri, ichabereka mwanakomana, ichamutumidza Imanueri.

Emanuere zvinoreva kuti Mwari anesu.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Aizokura kuita murume panyika pasina zvivi zvekufira.

Jesu aizotaura vatsvene vake kubva muguruva renyika, sezvaachaita pazuva rerumuko. Ipapo paizova nevanhu vakafanirana nenyika. Panenge pasina vakaraudzira vanofanira kutsva kugehena. Ndiro raive zano raMwari rekutanga.

Asi hunhu, chiremerera, nekutsunga zvinozonetsa muvanhu vanenge vasikwa vari vatsva ava. Saka vaizozvitutumadza uye kuzvida ivo chete.

Nekufamba kwenguva, zvaizova nani kana taizvarwa tiri vatadzi tosangana nenyasha nerudo rwaMwari toregererwa zvivi. Mavanga ari mumaoko ake anozotiyeuchidza nguva dzese pamusoro pemubairo waakaripira zvivi zvedu. Kuda Muponesi kunobvisa kuzvikudza matiri. Kuziva kuti takakanganiswa nezvivi uye takananga kuGehena kunobvisa rudo rwese rwekutadza matiri. Tinofanira kuzvarwa muzvivi toona matambudziko nekurwadza nekuungudza kunokonzerwa nezvivi kuti tizive kuipa kwazvo kuti tide nyika isina zvivi. Kana tamboregererwa zvivi isu pachedu zvinotiita kuti tisazvidze vamwe vanhu saka isu tinova vanhu vakanaka uye vane tsitsi nevamwe.

Kuomerwa nekutambudzika kunovaka kutenda kwedu kusvika kuvimba kwedu kwese kwava muna Jesu, kwete matiri kana mune vamwe vanhu.

 

Mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka yakabvisa humhandara hwaEva zvakadeura Ropa

 

Tarisai murango wakapihwa Eva.

Mwari haana kubvira ati kwaari, “Nekuti wakaita izvi ...”.

Mwari haana kupa chikonzero chaakamurangira. Aive anyengerwa zvakazara zvekusvika pakutadza kuziva kuti aive atadza. (Nhasi vanhu vemukereke havagoni kutaura kuti Eva aive atadzei. Vanoti akadya muchero. Asi Mwari vakamuranga nekuda kwekuti aive aita mimba. Saka kereke nhasi uno, saEva haazivi kuti chivi chekutanga chaive chii.)

GENESISI 3:16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mi­mba kwako,

Eva akarangwa nekuda kwekubata kwaaive aita mimba.

Kubata mimba uku zvinoreva kuti kwaive kusina kubva kumurume wake.

Akafunga kuti kuraira kwaMwari kwekuti vawande vazadze nyika kwaireva kuti aifanira kuita bonde. Kwaive kusina imwe nzira yaaigona kuona kuraira uku kuchizadziswa.

Haana kubvira aona kuti Satani aikwanisa kushandisa dumbu rake, muti kana mweya wekuziva, kuunza hupenyu huzere zvivi. Kana kuti mimba yikwanisa kushandiswa naMwari, muti wehupenyu kuunza mwanakomana anoberekwa nemhandara.

GENESISI 3:14 JEHOVA Mwari akati kunyoka, "Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedu­mbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.

Mwari akaudza mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka kuti chivi chayo chaive chei. Mwari vakaituka vakaishandura kubva pamusoro soro kuiita mhuka inofamba nedumbu. Saka akatadza achirara nedumbu rake pamusoro paEva achimudzidzisa kuita bonde.

Paakatanga kutenda zvaitaurwa nenyoka, Mweya waMwari wakabva paari.

Mweya waMwari haugari pane zvivi nekusatenda.

Mwari aifanira kuzadza tsinga dzake neropa kuti arambe ari mupenyu.

Mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka, isati yatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka, yakapa Eva mimba.

Ndiko kwakava kuwira muzvivi kwerudzi rwevanhu.

Eva aive asisina chibereko chemhandara chaikwanisa kushandiswa naMwari kuzadzisa kubereka kwemhandara.

Saka chivi chekutanga chaive chakonzerwa nemhuka, chipfuwo, chakadeura ropa.

Saka Mwari akagamuchira ropa remhuka rakadeurwa kuripira zvivi.

Eva aive atarirwa rufu.

GENESISI 3:16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mi­mba kwako, uchabereka vana uchirwa­dziwa;

Eva akabata mimba. Aive azvitakura. Adamu ndiye aive murume wake saka Mwari aisagona kumuranga kuti apihwa mimba nemurume wake.

Muchitsauko 1 Mwari akati berekanai. Izvi zvinoreva kuti kubereka Mwanakomana Jesu ari mhandara aizodaidza vatsvene vake kubva muguruva vakawanda zvakafanira panyika. Uku ndiko kwaive kuda kwaMwari kwakarurama.

Zvino Mwari akati “berekanai kwazvo” nekusangana pabonde. Kubereka zvakaraudzira. Vese vakarurama nevasakarurama vakazvarwa nemubatanidzwa webonde nesarudzo. Asi ikozvino kutakura mimba nekuzvara vana zvinorwadza kuratidza kuti kusangana pabonde kuda kwaMwari kwaakatendera. Mwari anotendera kusangana pabonde kumurume nemukadzi vakawanana chete. Satani anozokurudzira vanhu kuputsa murairo uyu.

II VAKORINTE 11:2 Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.

3 Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Eva namano ayo zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomoyo kuri kunaKristu.

Pauro anoda kuti kereke ive mhandara yaKristu. Handizvo zvaive zvichiri Eva mhuka yakatukwa ikashandurwa kuita nyoka payakapedza naye.

Mhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka yakanyengera Eva. Chinyadziso ichi chichiri kuratidzirwa nekuvenga kunoita vakadzi kudaidzwa mazita emhuka akafanana nekuti mombe kana imbwa.

Adamu haana kubvira anyengerwa. Saka kudaidza murume kuti bhuru anotozvifarira. Vanofamba nemumvura vanozvidaidza kuti imbwa dzemugungwa. Murume haana kunyengerwa nemhuka saka haana basa nekufananidzwa nemhuka.

I TIMOTIO 2:14 NaAdhama haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika;

Adamu akaziva kuti mwenga wake aive atadza kupfurikidza kudzidzira kuita bonde kubva kumhuka yakatukwa kuitwa nyoka. Asi aimuda zvakanyanyisa kwazvo zvekuti akaita njuga akabatana naye akatadzawo pamwechete naye, akatenda kuti Mwari aizoita zano rekuvadzikinura.

Adamu akatadza nebwone kuti arambe arinemukadzi wake. Akawira muzvivi nekuda kwerudo rwaaive narwo naye. Tichiri kutaura kuti “tinowira murudo”.

Jesu akationa muzvivi akava chivi nekutora kwaakaita zvivi zvedu. Ndiyo yega nzira yaaigona kugara nemwenga wake nekumudzikinura kubva kuzvivi. Ndirwo rudo zvaaive narwo nesu.

 

Mbeu yemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka ndiyo hurume hwemunhu rume

 

Mwari haana kubvira avaudza kuti vatendeuke nekuti Eva aive aita chivi chaisagona kugadzirisika. Mwari aida chibereko chemhandara kuti Mwana wake aberekwe. Eva aive asisiri mhandara, saka Mwari aive asisakwanisi kugadzirisa nyaya iyi. Saka Mwari aizomirira makore 4000 kuti ashandise kutenda kwaMaria kuzadzisa Shoko rake.

GENESISI 3:15 Ndichaisa ruvengo pa­kati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwa­nya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo."

Mbeu yemhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka hurume hwemurume. Hwakafanana nenyoka.

 

 

Rudzi rwevanhu rwese rwaizoberekwa nenzira iyoyo. Saka tese takazvarwa tiri vatadzi. Munhu mumwechete anotsaurwa apa ndiJesu akaberekwa nemhandara.

Kupedzwa kwazvo kwakauya paCalvari.

Messiasi akaberekwa nemhandara akarwiswa nevanhu vechitendero vakaberekwa kupfurikidza kusangana pabonde.

57 – 0915 VAHEBERU CHITSAUKO 7

Mwari akatora mukadzi pambabvu yaAdamu. Ndizvo here? Mukadzi akaenda akanobereka munhu nekusangana pabonde.

62 – 0211 HUMWECHETE

Rakanga risiri apura! Akaziva sei kuti aive akashama? Takasangana nazvo. Yaitova nyaya yekusangana pabonde.

63 -0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NECHISIMBISO CHECHINOMWE

Asi murairo waida Hama Mudzikinuri, uye munhu wese panyika aive akaberekwa nekusangana pabonde.

Zvino, hamuoni here, ndiko kwazvinobva. Ndiko kwakatangira zvivi. Saka muri kuona kuti zvakatanga sei? Ndipo pakapindira mbeu yemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka. Mazviona?

Kuti tiponeswe kubva kurufu rwakapinda nekuda kwekusangana pabonde, taida Hama Mudzikinuri aive asina kuberekwa kupfurikidza kusangana pabonde.

 

GENESISI 3:16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako;

“Kuwedzera kubereka kwako”? Zvinoita sezvitsva. Aive audzwa kuti aberebeke.

Asi aive azviita nenzira yakaipa.

Aifanira kubereka kamwechete kupfurikidza Mweya Mutsvene. Mwana iyeye aizokura odaidza vatsvene vake vose kubva muguruva renyika.

Asi zvino akamira pamberi paMwari abata mimba yemhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka. Aive nepamuviri.

Saka Mwari akati aizobereka nenzira iyoyo. Aya ndiwo maberekerwo aizoita rudzi rwevanhu. Asi aizorwadziwa pakuzvara vana kuti arangarire kuti chaive chinhu chakaipa.

GENESISI 4:1 Zvino Adamu wakaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, "Ndawana munhu, ndichibatsirwa naJEHOVA."

2 Akazopo­nazve munun’una wake Abero.

Chiitiko chimwechete chekubata mimba yaakapiwa naAdamu vana vaviri voberekwa vari mapatya.

Asi ko mimba yakaitwa mumunda weEdeni? Mimba iyi yaive isiri yaAdamu.

Akaviga nhau yekuberekwa kwaKaini akati aive apiwa Mwana naMwari. Ichocho ichokwadi. Hupenyu hwese hunobva kuna Mwari. Asi nei asina kuti Kaini akabva kuna Adamu?

ZVIREVO 30:20 Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, "Handina kuita chinhu chakaipa."

Chaunodya chinopinda mudumbu. Kusangana pabonde kunoitisa mimba inokudza dumbu. Saka kudya mucherechedzo wekusangana pabonde.

Tinoti mukadzi “aita” mimba. Nei? Nekuti mimba yekutanga ndiyo yakakonzeresa kuita zvivi. Kaini aive musanganiswa wemunhu nemhuka. Saka haana kubvira aita Mwanakomana waMwari.

Kaini haana kubvira ataurwa kunzi mwanakomana waAdamu wekutanga mubhuku raMakoronike.

Asi Caini ndiye akaita murevi wenhema uye muurayi wekutanga. Uhu hunhu hwaSatani aigara muMhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka payaive pamusoro pezvipfuwo zvese, iri pasi pemunhu chete.

Saka muti wekuziva wakaramba uri mweya wevanhu nekuti vakaberekwa nekusangana pabonde.

Izvi zvakatikonzeresa kuti tife tisati tararama kwezuva rimwe. Asi zuva rimwe kuna Mwari rakafanana nemakore 1000. Metusera akaita makore 969. hakuna munhu akaberekwa nemukadzi, akasvitsa makore 1000.

II PETRO 3:8 Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.

 

Guvhu ndiro chiratidzo chechikara pamiviri yedu

 

Vanga rinotiudza kuti takatarirwa kufa zvisinei nezivo yose yatinayo.

Ipapo tinoguma tava mubwiro. Tinochera gomba tosiya vanga pamusoro penyika. Ivhu haridzokere zvaraive rakaita gomba risati racherwa.

Mudzikinuri akazvarwa nemhandara ndiye oga tariro yedu. Iye oga ndiye akasununguka kubva kuchivi chekutanga. Izvi zvinoita kuti Jesu Kristu ave Muti weHupenyu. Maari, tinozvarwa patsva kuMweya, kwete kunyama.

Makore 4000 akazotevera Mwari akashandisa chibereko chemhandara Maria kuunza Mwanakomana anoberekwa nemhandara.

Erizabeta akati kuna Maria:

RUKA 1:42 Akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa

Jesu Shoko raMwari, ndiye Muti weHupenyu.

Kuratidza kuti aive nehupenyu husingagumi, akasarudza kutifira akamuka zvakare paakamuka kubva kuvakafa.

Kwatiri isu tese, takaberekwa nemuti wekuziva saka tinoramba tichifa. Asi hatigoni kumuka kubva muguva, kunze kwekunge tatendeuka tagamuchira Jesu saIshe naMuponesi wedu.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23