MuBhaibheri hamuna muHedheni ‘anotsiva’ William Branham



First published on the 15th of April 2020 — Last updated on the 15th of April 2020

Chero munhu anozviti muprofita, asingakwanisi kuprofita zvichaitika zvakazara, ane hushumiri husina meno zvinoratidza kuti munhu asina kurudziro yaMwari asi anongoedza kufadza kana kunyengera vamwe.

Kuti ave nebasa kwatiri, muprofita anofanira kugona kuona zvichaitika kumberi zvisati zvatombosvika. Anofanira kuona zviratidzo zvinozozadziswa.

TB Joshua kuNigeria, akanzi nevazhinji muprofita, akaona chiratidzo chaHillary Clinton achikunda sarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica. Akakunda pasarudzo huru dzacho, asi haana kuita mutungamiri wenyika, saka akakurirwa mumakwikwi ekuva mutungamiri wenyika. Saka chiprofita ichocho chaive chekutambisa nguva, uye chisina maturo sezvo Trump akakurira kutora simba chairo rezvematongerwo enyika. Hilary izvozvi angovewo mukwikwidzi wenguva yakadarika. Chiso chake chakatsamwa mumashure mesarudzo chakaratidza kuti aive asina chine musoro chaaive akurira, asi aive akurirwa zvakanyanya.

Saka chiprofita chaTB Joshua chaive chisiri nhema zvacho asi chaive chisina maturo.

Vatungamiri vemasangano nevafundisi veMharidzo “Massage” vakaprofitawo kuti Hillary aizokurira. Zvavakagona kuratidza chete ndezvekuti vaive vakarasika pamafungiro aMwari.

Asi tinoda zviprofita zvinoshanda.

 

60-0417M ENDAI MUVAUDZE

Hapana kubvira pashaikwa munhu panyika, kwete muprofita, kana munhu mukuru, kana munhu akaitwa mutsvene akakurira [rufu]. Vaigona kukurira hurwere neMweya waMwari. Vaigona kukurira nguva neMweya waMwari, nekuona zvinhu zvaiuya neMweya waMwari.

Nguva muvengi mukuru sezvo tisingagoni kuona zvinhu zvichatiwira nguva inouya. Nguva inoisawo muganhu pahugaro hwedu paNyika pano.

Humbowo chaihwo hwesimba raMwari pamusoro pemuvengi wedu anonzi “nguva” kukwanisa kwake kutaura zviitiko zvinouya. Isu togadzirira.

62-0607 KUSHONGA NHUMBI DZAMWARI DZOKURWA NADZO

Mupostora, muprofita, muuki. Anoratidzwa zvemberi, Satani asati kana akwanisa kusvika pazviri, asi iye atozvitaura kare apedza. Chii? Mwari akashongwa mukereke make. Mabasa aya inguvo dzaMwari. Mukaona mabasa aya , mufundisi,mudzidzisi, muvangeri, chii ichocho? Ndiko kushonga kwaMwari, huvepo hwaMwari, Mweya waMwari, ... uchishanda kupfurikidza vanhu.

 

Kana vemabasa aya chero mumwe wavo akaramba chero Shoko rake. Anenge asiri Mwari akashonga paari ...? ... kwete, kwete izvozvo. Ndiro bere mudehwe rehwai. Ongororai munhu iyeye. Muchenjererei. Asi kana akangoita zvaanzi aite neShoko, rangarirai, ndiye Mwari, anenge achimushandisa kutaura Shoko rake.

Muprofita anofanira kufanotiudza zvichaitika. Basa rimwe nerimwe kana hushumiri hwaMwari hunogara muShoko rakazara, Bhaibheri rese.

53-1112 MADHIMONI

Jakobo wakabereka Josefa; tinoziva kuti aive rudzi rwaKristu chaiye. Zvakanaka, Josefa paaive akufa, akati, “Musandivige kuno.” Nei? Aive muprofita. Akanga afanoona zvinhu zvaive zvisina mumwe wavo aigona kuzviona.

 

Josefa uyu aitaurwa nezvake muBhaibheri aive muprofita chaiye. Nei? Akakwanisa kufanoona zvakanakisa zvaizoitika.

56-1001 CHAKAVANZIKA CHINOTSANANGURWA

Kana Natani ari muprofita waMwari chaiye ... asi munoziva, maprofita vangori vanhu vanozodzwa nguva nenguva naMweya Mutsvene. Makondo anoenda kumusoro -soro vofanoona zvinhu zvisati zvaitika. Havagoni kuenda kumusoro uku nesimba ravo ino.

Gondo harigoni kuenda kudenga nesimba raro rega, mhepo inorisimudza. Zvinoda mhepo yeMweya Mutsvene kuti itakure muprofita kuenda kudenga. Inomutora kuenda naye kwatisingaoni kuti aone zvinhu, achiona zvinhu nenzira iyi kana nenzira iyo.

 

Muprofita anobatwa neMweya Mutsvene kuenda munzvimbo yepamusoro yemweya yezviroto nezviratidzo. Anobva aona zviri kuseri kwezvidzitiro zvenguva, odzoka kwatiri otiudza pamusoro pezviitiko zvenguva inouya izvozvo.

Kune ndudzi ina dzemaprofita.

Wekutanga, muprofita weShoko akanyora Magwaro, kubva kuna Mosesi kuna Genesisi kusvika kuna Johane muzaruriri muBhuku raZvakazarurwa. Bhaibheri rakabva rapedziswa, pasina chaifanira kuwedzerwa. Saka hakusisina vamwe vaprofita veShoko.

Vechipiri, maprofita eTestamente Itsva vanova chikamu chehushumiri hwemabasa mashanu.

53-0609A NZVIMBO YEMADHIMONI YEZVECHITENDERO

Zvino, makati, “Zvakanaka, maprofita ndeeTestamente Yekare.” Aiwa, kwete. Testamente Itsva yaive nemaprofita.

Agabo aive muprofita weTestamente Itsva. Tarirai mweya wechiprofita uchiwa kubva kudenga uchiudza Pauro ... Ipapo Agabo anosvika achibva Jerusarema, akawana Pauro, akasungirira bhanhire rake paari, akatendeuka akati, “ZVANZI NAJEHOVA, munhu uchasunga ichi achasungwa nengetani paachasvika Jerusarema.” Agabo, akasimuka akavaudza, akaprofita zvaizoitika, aive muprofita, kwete munhu ane chipo chekuprofita.

MABASA 11:28 Mumwe wavo ainzi agabo akasimuka, ndokuvazivisa nomweya kuti nzara huru ichava’po panyika yose; iyo ikasvika nguva yaKraudio.

Agabo akaprofita zvikaitika. Paive pasina chitsotsi apa.

Aive asingaedze kufadza, kana kuzvitorera chinzimbo chehutungamiri.

Akangoprofita zvaizoitika, vadzidzi vakakwanisa kugadzirira nzara yaizouya. Izvi zvinoratidza chikonzero nekukosha kwechiprofita.

Chiprofita chaivepo kubatsira kereke, kwete kusimudzira munhu.

Chechitatu, chipo chekuprofita chinova chikamu chekereke yepanzvimbo.

Ichi chimwechete chezvipo zveMweya apo Mwari anokwanisa kuzodza chero munhu.

I VAKORINTE 12:4 Zvino marudzi mazhinji ezvipo ari’po, asi mweya ndomumwe.

10 Mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe, kuprofita;

Mwari anokwanisa kushandisa munhu nguva zhinji kana pano neapo muhushumiri uhwu.

Chechina, kune hushumiri hwechiprofita chakasarudzika chinonetsa kwazvo kutsanangura.

Nei? Nekuti hushumiri uhu hunobata vanhu vatatu chete. Vaviri vavo maprofita achauya kuvaIsraeri munguva yekutambudzika kukuru Mosesi naEria.

Bhaibheri rinotsanangura kuti vatatu ava vachasimuka panguva iyoyo, asi havagoni kuwedzera chiro kune zvakarehwa neBhaibheri.

Saka chinangwa chehushumuri uhu ndechei?

Eria kuvaHedeni anofanira kutendeutsira maKristu kuShoko raMwari, rinova Jesu Kristu muShoko, apo anojekesa hushumiri muMagwaro kuMwenga waJesu Kristu, achitiratidza Jesu achifamba mumapeji eBhaibheri. Mwenga akadzorerwa pakutevera Magwaro zvakazara anozokwira kudenga kunosangana naShe mumuviri wake ari Munhu.

Maprofita maviri echiJuda anofanira kutendeutsira maJuda 144,000 kuShoko raMwari, vovazivisa kuna Jesu panyama ari Munhu vachiri panyika.

MATEO 17:11 Akapindura (Jesu) akati; Eria uchavuya hake avandudze zvinhu zvose.

II VATESARONIKA 2:3 Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi, nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi mwanakomana wokurashika asati ambovonekwa.

Saka, mukati menguva dzemakereke chokwadi chakarasika munguva yerima zvino Eria (Erija ndiro zita rechiHeberu, Eria ndiro rechigiriki) anofanira kuuya kuzovandudza kereke kuti idzokere pakuita kwekereke yeTestamente Itsva nedzidziso dzayo sezvayakatangwa nemaprofita.

Tsanga yechibage kana yekoroni haigoni kukohwewa kusvikira yafanana nezvayaive pakudyarwa. Kereke haigoni kuenda kunogara naMwari kusvika yatenda zvakafanana nezvakatendwa mazviri muBhuku raMabasa neTestamente Itsva.

60-1211E NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA

Zvino, tarirai! Erija achave akaita sei? Chekutanga achave muprofita mukuru kwazvo akatendeka kushoko raMwari, nokuti Eria aive nechokwadi, uye Johane aive nechokwadi. Ndizvo chaizvo. Achiita mashura nezviratidzo, achatendeutsira moyo yevana kukutenda kwemadzibaba epaPentekositi.

William Branham saEria, aive nehushumiri hune simba kwazvo achiita mashura nezviratidzo. Asi uhu hwaive husiri hushumiri hwake hukuru hwacho.

Kuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri, kutidzorera pakutenda kwekereke yeTestamente Itsva, ndicho chaive chinangwa chikuru chehushumiri hwake. Nekuti William Branham akazivisa zvakavanzika zveBhaibheri kuti adzorere kereke munguva ino, hakusisina chikonzero chekuti kuite anomutsiva, sezvo kusisina basa rekuti “munhu anotsiva” aite.

Kana “munhu anotsiva”, saErisha, akazivisa zvakavanzika zvitsva, zvinozongoreva kuti hama Branham HAVANA kudzorera chero chinhu, uye kuti vanenge vasiri ivo Eria akavimbiswa.

Kune sarudzo nhatu kumunhu anoda kuuya achizviti, kana kuti anokwidziridzwa kuti anzi, akamutsiva:

1. Munhu iyeye anenge aripo kutsiva pachokwadi, akasarudzwa naMwari.
Miyenzaniso yeizvi ndiJoshua aive atsiva Mosesi, naErisha akatsiva Erija.
Mosesi akaudzwa kuti aisakwanisa kupinda munyika yechipikirwa, saka Joshua akasarudzwa kuti atungamirire vanhu kupinda munyika yechipikirwa.
Panyaya yaErija, Jezeberi aive achiri mupenyu pakupera kwehushumiri hwaErija. Saka Jehu naErisha vaifanira kupedzisa basa.

1 Madzimambo 19:16 NaJehu mwanakomana waNimshi umuzodze ave mambo waIsraeri; naErisha mwanakomana waShafati weAberi-me-hora umuzodze ave muprofita panzvimbo yake.

17 Nokuti unopukunyuka pamunondo waHazaeri, uchavurawa naJehu, unopukunyuka pamunondo waJehu, uchavurawa naErisha.

Panyaya dzese dziri mbiri aitsiva aive atodzidziswa uye agadzirira kuenderera mberi nebasa pakarepo. Paive pasina mukana wemakore 16 kana 50 pakati.

2. Munhu uyu haasi munhu anotsiva, nekuti zvavanoti, kana zvavanosimudzirwa kuti vave, zvinenge zvisina nheyo dzeMagwaro.
Hakuna akatsiva Johane Mubapatidzi akabvira ataurwa nezvake muMagwaro. Jesu haana “kutsiva” Johane Mubapatidzi, asi ndiye Ishe wake. Johane aive mukuri wenzira, achimugadzirira nzira kuti agouya nayo. Kwaive kusina basa kana chikonzero chekuti Johane Mubapatidzi awane “anomutsiva” sezvo akaita zvaaive atumwa nemazvo. Zvino Jesu Kristu, Ishe wake, akabva atora hutungamiri.

Apo Johane Mubapatidzi aikura nzira yekuuya kwekutanga kwaJesu Kristu, kunofanirawo kuuya mukuri wenzira yekuuya kwepiri kwaJesu Kristu, kana kuti Jesu anenge asiri anogara akadaro asingashanduki (vaHeberu 13:8), wekutanga newekupedzisira, achidzokorora nzira yaakashandisa pakutanga kuuya kwake nekuuya kwake kwechipiri.
Semukuri wenzira wekutanga (akagadzirira nzira) aive asina “akamutsiva”, saka “mukuri wenzira” wechipiri (anodzorera) haagoni kuita “anomutiva”. Munhu mumwechete anozotora basa mumashure make ndivo Mambo, Ishe Jesu Kristu.

3. Magwaro anotaura pamusoro penyenyedzi nomwe dziri muruvoko rwaMwari rwerudyi. Hadzisi sere, saka hakugoni kuuya “mutumwa wechisere” kunguva ino sezviri kutaura vamwe vanhu.
Uyewo chinhu chekuti Zvakazarurwa Chitsauko 10 chinotaura kuti “Asi nemazuva enzwi remutumwa wechinomwe” zvinoreva kuti mutumwa wechinomwe haadi munhu “anomutsiva” sezvo izwi rake rakatapwa, rinogona kuridzwa zvakare.

Munhu ndiye anotsiva asi asina kutsaurwa naMwari kubasa iroro zvakazara, onyengera vanhu.

60-0515M Mambo Akarambwa.
Saka pavakaita izvozvo, kukunda kukuru pakwakasvika Sauro akatema nzombe huru mbiri akatumira kuvanhu vose. Ndovimba muchaona pano. Sauro paakatumira zvidimbu zvenzombe kuvaIsraeri vose akati, “Regai munhu mumwe nemumwe asingateveri Samueri naSauro, varegei, nzombe idzi dzive seizvi.” Muri kuona here kunyengera kukuru kwaakada kushandisa achiedza kumiririra munhu waMwari? Kuti zvaive zvisina chiKristu sei. Kutya kwevanhu kwaivepo nekuda kwaSamueri. Asi Sauro akavaita kuti vose vamutevere, nekuti vanhu vaitya Samueri “Varegei vatevere Samueri naSauro.”

1 Samueri 11:7 Akatora nzombe mbiri, akadziguranya, ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsraeri, namavoko enhume, akati: Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo. Zvino kutya, kwakabva kuna JEHOVA, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.

Muenzaniso uripo wekuti Sauro akashandisa kutya kwevanhu uye kutya muprofita Samueri kuti vanhu vamutevere.

Vamwe vanhu vanozviti “vakatsiva” William Branham vanopindawo mu gwara iri. Chero munhu anoti, kana kuti anosarudzwa kuti “atsive” William Branham anowira mugwara rimwechete renzira nhatu idzi. Kubva pakutsanangurwa kwehushumiri hwake neBhaibheri, zviri pachena kuti tingaisepi chero mumwe munhu anotevera.

 

 

65-0221M KUROORANA NEKURAMBANA

Vanhu vakandidaidza kuti muprofita. Handizvidaidzi kuti muprofita, nekuti ndinotya kutaura kudaro, asi ndogona kutaura izvi, Mwari vakandiita kuti ndifanoona zvinhu zvisati zvaitika, uye nditaure zvakaitika, zvichaitika, nezviri kuitika, uye hapana pazvakabvira zvarasika, munguva dzine makumi ezviuru.

Hama Branham, mugore rekupedzisira rekurarama kwavo, havana kuda kuzvidaidza kuti muprofita zvisinei nekuoneswa zvinhu zvaizoitika uye kuratidza mashura makuru nezviratidzo.

Saka aive nehushumiri hwakasarudzika. Simba rake rekuona zvinhu zviri mberi raimuita kuti ave muprofita mukuru, asi haana kugamuchira kuzvidaidza kudaro uye ruremekedzo uru. Nei asina?

Aiziva kuti Magwaro aive aprofita kutii pamusoro pake. Aiziva kuti chinangwa chikuru chehushumiri hwake chaive chei.

Hama Branham aive asina kutumwa kunofadza isu nechiprofita chake (chaidakadza nguva zhinji) nemashura nezviratidzo zvaive muhushumiri hwake. Aive akatumwa kunobvisa kuipa, nekuzivisa zvakavanzika zveZvisimbiso zvinomwe zvaizozarura zvakavanzika zveBhaibheri zvaive zvarasika mukati menguva dzemakereke.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Tora Bhuku ... reZvisimbiso uzvizarure uratidze mutumwa wechinomwe, neizvi zvega zvakavanzika zvaMwari, ndihwo hushumiri hwakavingwa nemutumwa wechinomwe. Zvino, tinobva tadarika nguva dzemakereke nenhorondo totsigira izvozvo. Mazviona? Imharidzo yemutumwa kukereke yechinomwe.

Zvakanaka, azivise zvakavanzika zvose zvaive munguva yakadarika, zvinhu zvese zviri munguva yakadarika: Zvakazarurwa 10:1-7. Ndizvo zvazvichava.

William Branham aive nehushumiri hwakasarudzika hwaivepo kujekesa mafungiro emasangano aive adzikatirwa uye kutidzorera kudzidziso dzekereke yekutanga.

Nekuda “kweizvi zvega”, kuziviswa kwezvakavanzika ndihwo hwaive hushumiri hwake hwakataurwa muMagwaro.

Zvimwe zvinhu zvose muhushumiri hwake zvaingovepo kutsigira basa rake nekuita kuti aonekwe nekukwezva vanhu kwaari, kuitira kuti vanhu vaterere paanozivisa zvakavanzika zveBhaibheri.

Kutaura kuti kune mumwe munhu achamutevera ari muprofita kuvaHedeni hazvimo muMagwaro.

Kutaura uku kunozongoreva chete kuti munhuwo hake ari kutsvaga kukudzwa kwake.

Mupostora Johane akatiyambira pamusoro pevanhu vanoda hukuru mukereke.

III JOHANE 1:9 Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.

10 Naizvozvo kana ndichivuya, ndichayevudza mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye kuti haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama; vuye vakanga vachida havo unovadzivisa, nokuvadzinga mukereke.

Zvimwe zvinhu hazvishanduke. Izvi zvinogara zviripo “hunhu hwamufundisi”. Anodzinga vaya vanoda kugara neBhaibheri rakabatsirwa kunyorwa nemupostora Johane.

Tsika dzavaNikoraiti kusimudzira munhu mutsvene kumuisa panzvimbo yehukuru pamusoro pevanhu mukereke. Mwari akavenga izvozvo.

Hama Branham havana kubvira vataura kuti hushumiri hwavo hwakavaita vakakosha kana kuti aive mukuru wekereke.

63-0324E CHISIMBISO CHECHINOMWE
Garai muchirangarira izvozvo mupfungwa dzenyu: kuti muve ibwe rinokosha pakorona yaJesu Kristu. Pauro akati kukereke, “Muri – muri mabwe anokosha ekorona yaShe.” tinoda kuva mabwe anokosha ekorona yaShe Jesu.

Hatidi kubvira takaisa munhu mairi.

Mune chamunokanganwa pamusoro pangu. Ndiri hama pamwe nemi. Mutadzi akaponeswa nenyasha, asina kufanira uhu hupenyu; ndicho chokwadi chaicho; uye handisi kutaurira izvozvo kuti ndinzi ndozvininipisa; ndicho chokwadi. Hapana chiri mandiri, kana chinhu chimwe chinokosha. Asi nyasha dzaMwari dzakaita kuti meso angu aone zviri kusi kwezvidzitiro zvenguva ndichiona zvinhu izvozvo zvisati zvaitika, ndodzoka ...

“Hatidi kubvira tatungamidza munhu mazviri.

Izvi zvinoreva kuti tinofanira kumira kutsvaga munhu anotitungamirira. Kana Mweya Mutsvene usingagoni kukutungamirirai munenge mapesana nechinangwa cheEvangeri.

Muprofita anosimudzwa neMweya Mutsvene kuti aone zvinhu zviri mberi. Otsanangura zviitiko izvozvo zviri muchiratidzo sezvazviri. Tinobva tawana zaruriro yezvichaitika. Asi chiitiko chaicho chinozoitika nguva inouya.

Musanyengerwa nemusiyano uri pazvinhu zviri kuitika nhasi muchiratidzo uye zvinhu zviri muchiratidzo zvinoitika nguva inouya. Muprofita anofanoona zvinhu zvichaitika. Anotiudza nhasi zvinhu zvichaitika munguva inouya.

 

 

Jesu akaprofita pamusoro paErija kuti achauya nguva inouya, asi haana kubvira ataura pamusoro paErisha.

Hakuna chikonzero chingauyirwa naErisha, nekuti hama Branham, saErija, vakatozivisa zvakavanzika. Saka hakuna chakasara chekuti Erisha agozivisa.

Hushumiri humwechete hwakakosha hwaWilliam Branham hwaive hwekuzivisa Zvisimbiso zvinomwe zvakazivisa zvakavanzika zvese zvinodiwa nemwenge kuti agadzirire Kuuya kwechipiri kwaShe Jesu.

63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Zvino, rangarirai, mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kutaura kwake, achiridza Hwamanda yeEvangeri, achapedzisa zvakavanzika zvaMwari zvese.

Zvakare rangarirai kuti Erisha aive nemigove miviri yehushumiri hwaErija.

Saka ndiyani ungamira mushangu dzaWilliam Branham oita zvakapetwa ruviri pane zvaakaita? Hakuna muHedheni akadaro nhasi.

VaHedeni vazhinji vakazviti ndivanaErisha vanotevera Eria, asi zvichienzaniswa nesimba remweya rakaonekwa pahushumiri hwehama Branham, vose mifananidzo yakaneta kwazvo. Asi Erisha anofanira kuva nesimba rakapetwa ruviri.

Zvisinei, kuchauya muprofita kumaJuda munguva inouya achiuya kuIsraeri munguva yeKutambudzika kukuru, achataura kuti nzara ivepo pachiso chenyika yose kwemakore matatu nehafu oshandisawo ndudzi dzese dzehosha nematambudziko kuti adzivise Chikara nehondo dzacho kuti chisakurire Israeri. Zvino iroro ndiro richava simba chairo mumupimo mukurusa.

Vose vasina kutaurwa neMagwaro, vaHedeni vanozvisimudzira vachizviti vanaErisha vachaguma vava munguva yeKutambudzika kukuru nekuti vanozvitorera hushumiri husina kugadzwa neMagwaro kumazuva edu atiri kurarama. Munguva yeKutambudzika vachagona kuzvionera kuti simba chairo rakabva kumusoro kudenga rakaita sei. Kutaura kwavo kusina maturo kunobva kwaburitswa pachena.

Tarirai kuti vanotsiva vechokwadi, Erisha aive asingabvi kumhuri yaEria, Joshua aive asingabvi muimba imwechete naMosesi.

Pakutanga kwehushumiri hwake, Erisha akawana vapikisi vaive vanakomana vemaprofita vasina kutenda zvakazara kuti Eria aive atorwa akwira kudenga (“kukwira kudenga mukubwaira kweziso”) atorwa naMwari. (Verengai izvi kuna 2 Madzimambo 2). tinoverengawo kuti dzidziso “dzakarasika” dzevashumiri ava “dzinounza sei rufu” kune vese vanotevera kubikwa kwadzo. Kugadziriswa kwazvo kwaive kuisa hupfu, chiratidzo cheMagwaro, muhari. Tinofanira kugarodzokera kunogara neShoko raMwari. Nzira imwechete yatinowana chokwadi chekuti hatizobiki “rufu muchikari chedu” kugara nezvinotaurwa neMagwaro. Chero dai mwanakomana wemuprofita akataura chimwe chinhu “chakarasika” chinorwisa Magwaro, imi munofanira kugara nezvinotaurwa neMagwaro.

2 MADZIMAMBO 4:38 Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, "Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita

39 Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.

40 Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, "Munhu waMwari, rufu ruri muhari." Vakasagona kuzvidya.

41 Asi iye akati, "Uyai noupfu." Akahudira muhari, akati, "Chipakurai henyu, vanhu vadye." Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari.

Mwari akaudza Eria kuti azodze Erisha semuprofita kuitira kuti Erisha agone kutanga hushumiri hwake ipapo mumashure mekubva kwaEria, kwete makore Mazhinji Eria abva. Paive pasina mukana wemakore 16 kana 50 pakati.

Kana Eria achimiririra kukwira kudenga mukubwaira kweziso kwekereke kunosangana naShe kuDenga, Erisha mucherechedzo wezviitiko zvenguva yekutambudzika kukuru.

Munyu unomisa kuwora. Saka munyu unotaura pamusoro paKristu mushonga wezvivi nekuvodzwa.

Evangeri raKristu rinodzokera kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru. MaJuda 144 000 vanogamuchira hupenyu husingagumi. Izvi zvinobvisa kuipa kwese nekusatenda kwakatapwa nemoyo yemaJuda mukutenda kwavo kweTestamente yekare.

II MADZIMAMBO 2:21 Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.'"

22 Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha.

23 Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, "Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!"

24 Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.

50-0821 MUTUMWA NEBASA RAAKAPUHWA

Munorangarira Erisha here? Murume wechiduku akanga ane mhanza, aive muduku, achiri murume wechiduku. Vamwe vana vaduku vakatanga kumutsvinyira, vakati, “Iwe nyamhanza kwira, iwe nyamhanza kwira, nei usina kukwira naEria? Mazvirangarira here?

Zvakatsamwisa muprofita, akatendeuka akatsamwa, akatuka vana ivavo muzita raJehova, kukauya maperekadzi maviri achibva musango akauraya vana makumi mana nevaviri vaive vasina zvitadzo. Ndizvo here? Handiwo maitiro anowanzoita Mweya Mutsvene. Munozviziva. Asi muprofita aive atsamwa. Mazviona? Munofanira kungwarira zvamunoita.

Vana vaive makumi mana nevaviri. Iri igwara rinoyananisa chiitiko ichi nemwedzi makumi mana nemiviri yenguva yeKutambudzika kukuru.

ZVAKAZARURWA 11:2 Asi siya ruvazhe ruri kunze kwetembere, usaruyera; nokuti rwakapiwa vahedheni; vachatsika guta dzvene mwedzi inamakumi mana nemiviri.

Hushumiri hwekupedzisira hwaEria kuIsraeri huchajekesa mvura dzedzidziso kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru nekuvatendeutsira kunaKristu. Asi kunenge kusisina Mweya Mutsvene kumaHedeni munguva yekutambudzika kukuru. Iyi inguva yekutsamwa kwaMwari nekushatirwa kwake pamusoro pevasikana mapenzi. Vana vaduku vanomiririra maKristu enguva yekupedzisira vakaponeswa vaifanira kudzorerwa kudzidziso dzekereke yekutanga yemadzibaba – mapostora. Asi vanoramba Shoko rakaziviswa kubva muBhaibheri naEria akauya kuvaHedeni mutumwa wechinomwe kana nhume. Munguva yekutambudzika kukuru vachaziva kuti vakapesana nekukwira kudenga kwekereke, chikonzero nei vanotanga nyaya iyoyo. Mifungo yemunhu inogara pachinhu chinoishungurudza. Vachaziva kuti vari rutivi rwakaipa nekuti vakasiiwa, kuti vafe.

Russia inoshandisa bere semucherechedzo wenyika yayo. MaMediani nemaPersia vane hushe hunobva kuTurkey huchienda kuAfghanistan (nhasi tinovati maMosiremu) vaive vakamiririrwa nebere zvakare muchiprofita chaDanieri.

Mapere maviri echikadzi. Mukadzi mucherechedzo wekereke kana boka rezvechitendero. MaOthodox ekuRussia nemaMosiremu vanotevera kwazvo chitendero, asi vane zvimwe zvavanotenda mazviri zvakarasika. MaMosiremu vakazvipira paruvengo rwavo pamusoro peIsraeri neAmerica. Tinobatira Mwari murudo, kwete muruvengo.

Vana munguva yeKutambudzika kukuru vanomiririra maKristu emumasangano akaponeswa vanoramba Chokwadi chakaziviswa cheBhaibheri uye vatendi veMharidzo vakaponeswa vanonatsa mazwi akabatwa paitaura vaparidzi vakasiyana-siyana, pachinzvimbo chekudzorera zvavakabata paitaurwa kuBhaibheri. Saka vanotenda kuMharidzo “Massage” vanoguma vakutenda zvinhu zvisina kubvira zvatendwa mazviri nemaKristu enguva yekereke yekutanga. (“Masangano” “nevatendi veMharidzo” zvese kutaura kusimo muMagwaro kusina wakuchaponesa. Vanhu vekereke yekutanga vaidzaidzwa kuti maKristu. Tinofanira kutevera muenzaniso wavo.) Nekuti kereke yanhasi ine mukana wekudzidza chokwadi, asi inoramba mazano ekujekesa chokwadi vachitsigira neMagwaro, vanobvarurwa kuita mamvemve munguva yeKutambudzika nevaya vanokoshesa chitendero chavo vekuRussia nemaMosiremu vanenge vapepuka votanga kuziva chokwadi chekuti vaive vanyengerwa nguva yese nevakuru vezvitendero zvavo saka vakarasika. Vanenge vakatsamwa kwazvo pamusoro pevasikana mapenzi vaive nemukana wekudzidza nekudzidzisa chokwadi, asi vakarasa mukana wavo. Vanhu vekuRussia nemaMosiremu vakaputirwa zvakanyanya muzvitendero zvavo zvekuti vane mukana muduku kwazvo wekuwana chokwadi nhasi uno.

 

 

Hama Branham vaive muprofita. Vaive vasina basa nekuita purofiti.

Soromoni aive mwanakomana waDavidi uye mugari wenhaka yaDavidi. Asi mari yakabatsira kuparadza mbiri yake.

Aive munhu akachenjera kwazvo, asi mari yese yaakaita yakashaiswa maturo nekuyanana kwayo nechiverengo 666. kutaurwa kwekutanga kwechiverengo 666 muBhaibheri kunoyanana nemari yakaitwa nemwanakomana uye mugari wenhaka yaDavidi yaakawana kubva kuvanhu , gore rimwe nerimwe.

Iri ndiro rakava gwara rekutanga rekutaura kuti paive nezvaive zvatanga kurasika uye kuti aizobuda munzira dzaMwari.

I MADZIMAMBO 10:14 Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenda ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;

Inonzi siko (score) muChirungu chiverengo 20 kana makumi maviri. Saka 3 siko (threescore) ndiyo 3 x 20 = 60. Saka gore rega rega aiwana 666.

Kuwana mari zhinji handicho chakavanzika chebudiriro.

Jesu akati

RUKA 6:24 Asi munenhamo imi vafumi, nokuti mapiwa kunyaradzwa kwenyu.

MATEO 19:24 Ndinoti kwamuri zve: Kamera ingarerukirwa kupinda paburi redumho, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.

Vamwe vanoti Petro aive mutungamiri wemapostora. Izvi hazvisi chokwadi, asi tarirai zvaakataura.

MABASA 3:6 Asi Petro akati: Sirivheri nendarama handina; asi chandinacho ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.

Petro aive muprofita wechokwadi, aive asingadi kuzviitira purofiti kubva muchitendero.

Petro aive akanangana nesimba remweya, kwete mari. William Branham aive nehunhu hwakadaro.

49-0718 I HANDINA KUREGA KUTERERA ZVIRATIDZO ZVEDENGA

Pandaive mushumiri, muparidzi weBaptisiti mukereke medu kwemakore gumi nemaviri, handina kubvira ndagamuchira muhoro kana wepeni dzvuku zvaro.

Kwete kare muCalifornia, vamwe vanhu vaArmenia, vaive vatengesa zvinhu zvavo nemasviniro avo ewaini, vakanditumira cheki yaive nemari inodarika madhora miriyoni. Handina kana kuisa ruoko rwangu pairi. Ndakaitumira kwakare. Zviri nani ndive murombo ndichirarama mutangwena ndowana kudiwa naMwari, uye kuti ndinzwe kuti zvakakwanira kuti ndomuda, pane pfuma yose yenyika.

50-0820A NYAYA YEHUPENYU HWANGU

Ndikaedza kurarama zvakachipa nepandinogona napo. Ndikaenda kumaguta, handitsvagi mahotera makuru. Yakachipisisa yandingawane, ndiyo yandinoda. Mazviona? Ndinoda kuva murombo sevamwe vese vanouya kwandiri kuzonamatirwa. Ndizvo chaizvo. Kana ndikagamuchira mari dzandinopihwa ndinotoita mumiriyoneya.

… Vakanditumira cheki, bhangi dhirafuti remiriyoni, mazana mashanu ezviuru zvemadhora. Ndikaramba kuibata kana kuitarisa. MaBaxter vaive vauya nayo kwandiri, “Kwete baba, handidi kuiona.”

Vakati, “Zvakanaka, Murevhi Branham yakatumirwa kwamuri”.

Ndikati, “handidi kuiona. Handidi kuva nechekuita nemari.” kana munhu akaisa pfungwa dzake pamari, anorasikirwa naMwari. Ndizvo chaizvo.

51-0729E MUNANA WECHIPIRI

MuTexas nemuDallas umo, munhu aiita zvemafuta eoyiri akaunza amai vake ikoko nendege; vaive muwiricheya. Aive agarapo mazuva maviri kana matatu, ndaiparidza. Ndikati, “Ndiri kuona mukadzi wechikuru ari kuuya ari pawiricheya, ane bvudzi jena, ari kubvunda.” Ndikati, “Ndiri kumuona achisimuka achienda.” Ndati, “Ari pai?” uyo agere apo; ndati, “mukadzi, Jesu Kristu akuporesa, mira netsoka dzako.”

Akabva aenda achimhanya nemuzvivakwa. ...

Akati, “pano ndine cheki, kacheki kandinoda kukupa.”

ndakatarisa ipapo, zviuru makumi maviri nezvisere zvemadhora; ndikati, “Aiwa, kwete, kwete.” Akati, “tarira,” Akati, “kwete nekuti manamatira mai vangu; hazvisizvo,” ndikati, “ndakaifanira.”

Ndakatora cheki iya ndikaibvarura, “ndikati, “Kwete, baba, hama, kwete , hama. Mwari haana kubvira andituma kuti nditore mari; akandituma kuti ndiparidze Evangeri.”

52-0715 KUTENDA MUMWANAKOMANA WAMWARI

Hama, hanzvadzi, ndakambopihwa miriyoni nehafu yemiriyoni imwe nguva, ndikaramba kuisa zita rangu pairi, ndikavaudza kuti vaidzosere. Ndizvo chaizvo. Ndikambopuhwa zviuru makumi maviri nezvishanu zvemadhora pacheki panhandare muTexas, uko mumwe murume aive muridzi wekambani yeoyiri akauya akati, mai vake vaive vaponeswa kubva pawiricheya. Vaive vachangosvika nendege, “Baba”, ndikabvarura cheki iyoyo pamberi pake. Ndizvo chaizvo. Ndiri murombo.

Zvino soromoni, aive asina chimwe chiro chaive nababa vake Davidi, akatendera vakadzi vatorwa kumutsausa.

I MADZIMAMBO 11:6 Naizvozvo Soromoni wakaita zvakaipa pamberi paJehovha, haana kutevera Jehovha kwazvo, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.

Saka Soromoni, mwanakomana waDavidi, akatora chinzvimbo chababa vake chakakosha chairemekedzwa asi nekuti haana kutsvaga Mwari nerudo rwakaperera serwaive nababa vake, kutsiva kwaakavaita kwakaguma rava dambudziko.

Mwanakomana aive nababa vaive nembiri haana kuita mweya sewaive nababa vake uye chipo chaive nababa vake.

Saka Mwanakomana anokwanisa kutora mari zhinji kwazvo, asi zvaanoguma aita nayo zvinenge zvakaipa pamweya.

Kutsiva kwemwanakomana achitora nzvimbo yababa vake uku hakuna kuzopera zvakanaka.

Vanhu vazhinji vanoti ndivo vatungamiri vekereke. Vanhu vanoda simba nekukosheswa. Asi vatungamiri vanhasi vanodawo mari nehupenyu hwakatambanuka, vanobva vazviunganidzira zvizhinji nepavanogona napo.

Mwari paaida kuti kutsiviwa kwaMosesi kubudirire, haana kusarudza mwanakomana waMosesi, kana hama yaMosesi.

Mosesi naJoshua vaive nebasa rakasarudzika rekuita sezvo vaifanira kuva mucherechedzo wechokwadi chakadzama.

Mosesi aive akamiririra Murairo unotitungamirira kuenda kunyika yechipikirwa. Joshua aive mucherechedzo weMweya Mutsvene unotiyambutsa Jorodani (kufa kuzvivi zvedu) kuti tipinde munyika yechipikirwa.

60-0713 BOFU BATIMIO

Tarirai, Mosesi haana kupinda nevana veIsraeri munyika yechipikirwa. Aive mupi wemurairo, asi haana kupinza vana vaIsraeri munyika yechipikirwa. Joshua ndiye akazovayambutsa. Mazviona? Saka mweya mutsvene ndiwo wakazovayambutsa. Kristu akaita nzira nehurongwa hwese, aive mupi wemurairo nezvimwe zvakadaro. Asi Mweya Mutsvene ndiwo unotora kereke kuenda nayo munyika yechipikirwa, kukwira kudenga, kuenda nayo kumakore, Mweya Mutsvene mukukwira kudenga.

 

 

Joshua, semunhu akatsiva Mosesi aive nesimba kwazvo, aifanira kuratidzirawo simba guru.

Akaomesa rwizi rweJorodani parwaive rwakazara. Uku kwaive kuita kunodakadza. Akawisa masvingo eJeriko, kusara kwerutivi rwemasvingo ekwaigara Rahabu. Ndiko kwaive kuita kukuru kwesimba kwemunhu uyu aive atsiva Mosesi muprofita mukuru.

Chero semurume wechiduku, Joshua aive akangozvipira kushandira Mwari.

Joshua haana kana hondo imwe yaakakurirwa. (Hondo yavakakurirwa yepaAi ndipo pavaive vatumira boka duku kunotapa guta iri, asi makabva maitwa zvivi mumatente mavo.) Joshua haana kubvira adzokera shure, chero paaive muduku.

 

 

Hutungamiri hwevanhu mukereke hauzi muhurongwa hwaMwari.

Kereke yeRoma inoti Petro ndiye aive mutungamiri wemapostora. Bhaibheri haritauri izvozvo. Petro aive nebasa rakakosha rekuita. Aive muredzi, Mwari akamushandisa kuraura maJuda pazuva rePentecositi. Akaraura maHedeni paimba yaKonirio. Mumashure maizvozvo akava muprofita kumaJuda, kunyanya vaya vaive Babironi.

Kwaive kusina vatungamiri vakasarudzwa.

Pakwaiita kusawirirana mapostora vaisangana nevakuru kuti vataurirane.

MABASA 15:2 Asi Pauro naBharnabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBharnabhasi navamwe vavo vakwire Jerusarema kuvaapostora navakuru pamusoro peshoko iri.

MABASA 15:6 Ipapo vaapostora navakuru vakavungana kuti varangane pamusoro peshoko iri.

7 Zvino, nharo huru dzakati dzavapo. Petro akasimuka akati kwavari: Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari wakandisanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reEvhangeri nomuromo wangu, vatende

MABASA 15:12 Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakaterera vana Bharnabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni.

13 Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati: Varume, hama, nditererei.

19 Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendevukira kunaMwari;

Petro, Banabasi, naPauro vose vaida kutendeukira kuvaHedeni. Asi Jakobo ndiye akazopedza nyaya iyi asi haana kubvira ati ndiye aive mukuru. Vose vaitaura vakaenzana.

Pauro paaitanga, akatsanangura Jakobo, Petro naJohane senhungo. Haana kutsanangura Petro semutungamiri!

VAGARATIA 2:9 Vakati vavona nyasha dzandakanga ndapiwa, Jakobho, naKefasi (Simoni Petro), naJohane avo vainzi mbiru vakatibata isu tose naBharnabhasi namavoko orudyi okuyanana, kuti isu tiende kuvahedheni, ivo kuna vakadzingiswa;

VAGARATIA 2:6 Zvino kana vari ivo vanonzi vakuru handine mhaka kuti vaiva vakadini kare;) Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu kana vari ivo vanonzi vakuru, havana kundiwedzera chinhu;

Vamwe vaiita sevakakosha kudarika vamwe asi kukosha uku hakuna kufadza Pauro nekuti Mwari haaoni chero munhu akakosha.

VAGARATIA 2:7 Asi ivo vakati vavona kuti ini ndakapiwa Evhangeri kunovasina kudzingiswa, saPetro kuna vakadzingiswa;

8 (Nokuti iye wakapa Petro simba rokuva muapostora kuna vakadzingiswa, ndiye wakapa vo ini simba rokuva muapostora kuvahedheni);

Pauro aitarira zvinhu sezvazviri. Mwari aishandisa Petro kuponesa maJuda, Pauro kuponesa maHedeni. Saka vaingotarira aishandiswa naMwari nguva iyoyo vasingapindi munzira yake. Kwaive kusina kuedza kwavaiita kuti vaitwe vakuri kana kuonekwa semutungamiri wemapostora.

II VAKORINTE 11:5 Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvaapostora vanopfuvura vamwe vose.

Tarirai kuti kutaura kwekuti “Mapostora makuru” kuri muhuzhinji!

Vamwe vaive nesimba nekurudziro kudarika vamwe asi hakuna akaedza kuita mupostora mukuru. Uye Pauro, achiuya kubva kunze, aive angori nechinzvimbo chakafanana nemamwe mapostora ese.

Asi Pauro, ari mukaki wematente, akashandisa mabhiii ake gumi nemama kusonanidza nyasha dzeTestamente Yekare neTestamente Itsva. Tsananguro dzake dzaive dzakadzama kwazvo uye dzakanatswa kana takutarisa zvinhu zvemweya, zvekuti Pauro akaguma ava nekurudziro yakanyanyisa pakati pekereke yekutanga.

Kufamba kwake kwakanyanya achitenderera nenyika pakati pemaHedeni kwakaparidza kurudziro yedzidziso yake kuti itekeshere nenyika yose.

Haana kubvira azviti mupostora mukuru, asi aive mupostora akanakisa uye mupostora aive nekurudziro hurusa pakereke yekutanga.

Tsika dzavaNikoraiti, kusimudzirwa kwemunhu mutsvene pamusoro pevanhu, kwakazotanga mumashure merufu rwemapostora.

Chinzvimbo chaizoshandiswa chaive “chaBhishopu”.

Kuwira pasi kwekereke yemaKristu kwakatanga pavakatendera kuti munhu mumwechete asarudzwe kuitwa (muhumwechete) bhishopu weguta.

VAFIRIPI 1:1 Pauro naTimotio, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose munaKristu Jesu, vari paFiripi, navatariri navaranda vekereke:

Maive nemaBhishopu (vatariri) mazhinji muFiripi.

Saka kwaive kusina munhu mumwechete aitonga guta.

Izwi rekuti “pasita” (“mufundisi”) rakataurwa kamwechete muTestamente Itsva rikatukwa katanhatu muTestamente Yekare.

Saka hakuna kubvira kwaita pasita akatonga kereke pamakereke eTestamente Itsva.

MuPrista kana pasita ari musoro wekereke itsika yakazopindirawo nekufamba kwenguva.

Asi mapegani vaive vagara vaine muprista aitungamirira ungano yavo.

 

 

Hakuna vanhu, muBhaibheri, vakasarudzwa kuti vatsive Petro naPauro.

Vose Petro naPauro vakapa simba rekutungamirira kereke kuvakuru vepanzvimbo maeredha enzvimbo imwe neimwe. Havana kubvira vasarudza munhu mumwechete kuti avatsive.

 

 

Pauro akatanga kereke paEfeso nenzira iyi.

MABASA 20:17 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.

20 Kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose;

Kereke yekutanga yaisanganirana mudzimba. Havaifanira kuvaka zvivakwa vowana ungano huru inotungamirirwa nemunhu mumwechete. MaKristu ese muguta havaifanira kusanganirana nzvimbo imwechete nguva dzese.

MABASA 20:27 Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.

28 Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.

Kanzuru yaMwari yakazara yaisanganisa vakuru kana maeredha epanzvimbo vaitaririra sangano repanzvimbo imwe neimwe. Uhu hwaive husiri “hutungamiri hwemunhu mumwechete”.

Hutungamiri hwemunhu mumwechete hwaizopindira munguva yekereke yechipiri Smirna. Zita rekuti Smyrna rinoreva kuti kuvava nerufu.

Hutungamiri hwevanhu vakasimudzirwa hwakabva hwatonga maguta apo guta rimwe nerimwe rakasarudza bhishopu kuti aritonge.

Mwari akabva atumira kuuraiwa kusina magumo kuti avaparadzire kuitira kuti maKristu arambe ari mapenyu mumapoka maduku asina munhu anoatungamirira.

Petro akataura chinhu chimwechete pedyo nemapeto eTestamente Itsva. Akazvitaura achizviti mukuru kana eredha, zvakamuita kuti aenzane nevamwe vakuru vaivepo, pachinzvimbo chekuzvidaidza kuti mupostora zvinozomusimudzira pamusoro pavo vose.

I PETRO 5:2 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:

2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa;

3 Musingaiti nesimba nezvamakagoverwa asi muve vatungamiriri veboka.

Hakuna munhu anofanira kuva pamusoro pevamwe vanhu.

53-0614A KUTSUNGIRIRA KUTSVAGA KUTENDA KWAKAMBOPIWA VATSVENE

Asi regai ndikuudzei, kereke yaMwari inotungamirirwa neMweya waMwari. Inofamba nekufamba kunoita Mweya. Mwari haana kuvimbisa kufamba nemabhishopu chete. Vakuru kana maeredha ndivo vanotungamirira kereke imwe neimwe.

57-0126B NHAU DZERWENDO RWEKUINDIA

... Zvino, rangarirai chikonzero chandaive ndakarambira ndiri mukereke yeBaptisti rwaive runyararo nekubatana mukereke zvandinofungira kuti chipostora ...

Zvichibva kuBhaibheri, basa repamusoro -soro mukereke ndiro raeredha kana mutariri.

57-0908M VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHECHITANHATU

Asi ndinovimba musimba guru rekereke panzvimbo. Hongu. Regai kereke imwe neimwe izvimiririre, isarudze vafundisi vayo, madhikoni ayo, chero vayada kusarudza. Uyezve, nenzira iyoyo, munhu anenge ari imomo anenge asina bhishopu pamusoro pake. Mweya Mutsvene unoda kutaura chimwe chinhu kukereke, havafaniri kubvunza mumwe munhu kuti voita ichi here kana icho. Munhu mumwe nemumwe anenge achiwadzana neMweya Mutsvene. Ndiratidzei neBhaibheri kuti chii chikuru, muBhaibheri, kudarika eredha mukereke? Ndizvo chaizvo, hongu, baba, kubatana nerunyararo mukereke, kereke imwe neimwe pachayo. Zvino, hukama pakati pehama munaShe, ndizvo zvakanaka. Makereke ese anofanira kuita hukama hwakadaro, pamwechete. Asi kubatana nerunyararo mukereke zvakakosha!

BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 5 – DZIDZISO DZAVANIKORAITI

Asi kwete bhishopu haana kugara achitevera chipostora chaPauro, asi vakasarudza kuenda pakataura pauro paakadaidza vakuru kubva kuEfeso kuenda Mireto kuna Mabasa avapostora 20. Pavhesi 17 rinoti, “vakuru” vakadaidzwa uyezve pavhesi 28 rinoti vanonzi vatariri “maovhasiya” (mabhishopu). Mabhishopu aya, (hazvishamisi nepfungwa dzezvematongerwo enyika uye rudo rwesimba) vakasimbisa kuti pauro akaisa chirevo chekuti “vatariri” kana maovhasiya vaive nesimba kudarika vakuru kana maeredha vane simba pakereke pavanobata vari chete. Kwavari bhishopu aive ane simba pamusoro pevakuru kana maeredha akawanda epanzvimbo. Chinhu chakadaro chaive chisiri mumagwaro kana munhorondo, asi chero munhu werudzi rwakaita serwaPolycarp akatoteverawo kuita kwebato rakadaro.

Mumashure mekufa kwemupostora Johane gore rinenge 100 AD, kwakatanga kuitwa munhu mumwechete, bhishopu, mutungamiri wemaKristu muguta.

Akatanga kuzivisa kuita uku aive Ignatius, akazofa makore akapoteredza 110 AD, mugomba reshumba.

Akanyora kuti “Shingairai muite zvinhu zvose mukuzvirereka kuna Mwari, nabhishopu achigara panzvimbo yaMwari.”

Irenaeus (130-202) aive munhu anoremekedzwa kwazvo asi aitenda kuti “Petro naPauro vaiparidza kuRoma, vachiteya nheyo dzekereke”. Akatiwo “Mapostora akagadza mabhishopu mumakereke”. Hakuna zvakadai zvakambotaurwa muBhaibheri.

Akanyora mabhuku mashanu anopikisa vapikisi vechitendero. Izvi ndizvo zvimwe zvaive mubhuku rake rechitatu.

“Kereke hurusa, yakurisa pamakore, uye inobata zvese yakatangwa ikarongwa paRoma nemapostora maviri makuru kwazvo Petro naPauro; zvakare [nekunongedzera] kutenda kwakaparidzwa kuvanhu, kunouya kunguva yedu kupfurikidza kutsiviwa kwemabhishopu. Nekuti inyaya yakakosha kuti kereke imwe neimwe inofanira kutenderana nekereke iyi, zvichibva pasimba rayo rakakosha kubva pakutanga.”

Irenaeus aive munhu anoremekedzwa, asi pano akakanganisa chinhu chimwechete chikuru kwazvo. Petro haana kubvira aenda kuRoma. Kereke yeRoma yaive isati yanyanya kurasika mumazuva ake, asi makore anosvika zana aizotevera vaizomanikidzira dzidziso dzavo dzeTiriniti pavanhu. Vachiedza kugadza nzira yakarongwa nevanhu kuti itonge ruzhinji. Kuedza kuita hurongwa hunotonga vanhu, pachinzvimbo chekungogara nevakuru vari pakufambisa zvinhu mukereke, pachinzvimbo chekungogara nemaeredha akataurwa neBhaibheri, Irenaeus akanongedzerera vanhu kuRoma nekutsiviwa kwayo kwemaBhishopu vaizoti kwakumberi, makore akapoteredza 400 AD, vaizodaidzwa kuti mapope.

Kuita kuti mirairo yakaitwa nevanhu itonge kereke nenzira yehutungamiri hwevanhu yaive nzira yekutanga huru kereke yakananga kumateru kwekunopinda muNguva yeRima.

Irenaeus akataura mabhishopu gumi nemaviri akatsivana, pavaiteverana pachinzvimbo muRoma. Mupositora Johane aive achiri mupenyu pakatonga mabhishopu mana ekutanga muRoma. Saka kana mabhishopu eRoma aya aive nesimba pamusoro pechiKristu chese, saka chero mupositora Johane aifanira kuva pasi pavo. Izvi zvinhu zvisina maturo zvachose. Asi zvinoratidza kuti Irenaeus aive arasika zvakadii nemifungo yake “yekutsiviwa kwemabhishopu”. Saka rudo rwekuburitsa pachena “tsananguro yekutsiviwa pazvinzvimbo izvi” rwakazarura mukova wekukanganisa muRoma, waive muvengi mukuru wechokwadi.

Irenaeus akati “Polycarp (akafa muna 156) haana kungoudzwa zvekuita nemapostora, uye kutaura nekuyanana nevakagarisana naKristu, asi aivewe, nemapostora muAsia, agadzwa kuva bhishopu wekereke paSmyrna, wandakaonawo muhujaya hwangu”.

Asi mapostora haana kubvira asarudza munhu kuva Bhishopu weguta.

Irenaeus akangoona nekunzwa Polycarp achiparidza paaive achiri jaya.

Hakuna zvinyorwa zvenhorondo zvinoti Polycarp akasarudza Irenaeus aive achiri jaya duku kwazvo “kumutsiva” pachinzvimbo chake.

60-1206 NGUVA YEKEREKE YESMYRNA

Asi ndipo pakatangwa kereke yeRoma, kubva muboka revanhu vaive vatendeutswa naPauro, naIrenaeus, naSt Martin, zvichienda mberi. Vakatendeutswa kubva muchipegani kuva maKristu, asi vachida kudzosera kereke muhushumiri hweTestamente yekare, zvakafanana nekuita maprista makuru, uye kutsiviwa kwemapostora, zvakafanana nekubva kwaPope umwechete pachiiswa umwe Pope. Dai taigona kuronda gwara reBhaibheri iri, munoona kuti ndicho chokwadi chaicho uye kuti Mwari akatuka sei kuita uku kubva pakutanga; uye nguva yekereke yemadeko akadarika, akati, “Ndakazvivenga!” Saka zvimwechete nekereke.

60-1206 NGUVA YEKEREKE YESMYRNA

Mwari haana kubvira ada kuti kereke itongwe nemunhu.

Vakawanda vanofunga kuti “kuva mutabernakeri yekwaBranham kunotichengetedza”. Asi hachisi chokwadi.

59-0628M KEREKE YAKANYENGERWA NENYIKA

Garai muri pachokwadi kuna Mwari.

Samusoni vaFirisitia vanewe.” Tebernakeri yekwaBranham, zvenyika zviri kunyangira kupinda pakati penyu. Zvinorevei? Makaburitsa pachena chakavanzika chenyu here? Makazivisa chakavanzika chenyu chamakapuhwa naMwari here pamaifamba mumarara makore mashoma akadarika? Makasiya chichibuda nekunamata kwehushamwari here? Chii chakaitika kwamuri​? Mwari anogona kuburuka akaita munana akapinda pakati pevanhu, akaudza vanhu zvakavanzika zvemuhana dzavo, nezvese, achiporesa vanorwara vakaneta vakaremerwa, nekuita mashura nezviratidzo, nekuparidza Shoko rake zvakaoma sezvingaite Mweya Mutsvene, vanhu votaura kuti, “Zvakanaka, ndinofunga kuti zvakanaka. Tinofara kuterera izvi kamwechete munguva yakati kuti, kana tisina kunyanya kuneta.” Ndiyo tabernakeri yekwaBranham. VaFirisitia vari pamusuro pako.

Rini, zvaiwanzoitika pakuparidzwa kweShoko, vatsvene vekare nemisodzi mumaziso avo, vaibva vasimuka netsoka dzavo vofamba, vachichema, dzimwe nguva vasina chavanotaura, vachingotenderera, kaviri kana katatu, vogara pasi, vakazadzwa kwazvo neMweya Mutsvene ... Shoko raivagutsa. “Munhu haangararami nechingwa chete, asi neShoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maMwari.” vaFirisitia vari pamusoro pako, Tabernakeri yekwaBranham. VaFirisitia vari pamusoro pako, Pentakositari.

Vafirisitia, vavengi vaIsraeri vekare, mucherechedzo wemadhimoni.

Zvenyika zvinopinda muvanhu. Gore rega rega mbatya dzinova pfupi shangu dzowedzera kukwirira. Kana marokwe akareba anenge asina maoko, kumusoro kwerokwe iroro kunobviswa zvidimbu zvikuru uye mabhechu akaraba.

56-0128 KURUDZIRO
Munhu wese akazvarwa patsva anoziva kuti izvi zvakaipa. Nei, angori Satani anokuitai kuti mubvise nguvo dzenyu. Hakuna kubvira kwaita munhu muBhaibheri, asi mweya yemasimba emadhimoni zvaiita izvozvo. Uye nyika yazadzwa naizvozvo. Uye zvava chitendero kuita saizvozvo. Nei, ndiye Satani chaiye.

Masimba emadhimoni anotiitawo kuti tibve pane zvinotaurwa neMagwaro.

61-1119 SIMBA RAKANAKISA MUKUNETA KWAKANAKISA
Haiwa, zvangu, kutaura kwangu pamusoro pemuvharo weketero: madhimoni anotenderera, masimba ewakaipa ari pasi pezita rechiKristu, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yevanhu, vachidzidzisa dzidziso dzepfungwa dzevanhu, vachisiya Bhaibheri. Hareruya. Ndiyani anokwanisa ... ndiyani akasimba? Ndiyani ane simba rakakwana kuti akurire rigioni uyu ari kubvisa nguvo pavakadzi vedu mumazita evaparidzi, Methodisiti, Baptisti chero maPentekositi? Vakanyora zviso zvavo kunge vana Jezeberi, vakaruka misoro yavo, vakapfeka mabhurungwa kunge varume, vaparidzi vedu, havana kukwanira kusimuka kuti vavataurire nezvazvo: vakagarwa newakaipa ... aive rigioni aive abvarura mbatya dzake kubva pamuviri pake. Ndiyani wakaipa uyu?

 

Pakupedzisira, ngatitarisei zvinotaurwa nevamwe, vanoti Hama Branham, pamusangano wekugamuchirwa kwemwanakomana wavo, vakati Mwari akati Joseph Branham achava muprofita (uye zvakadaro anova “mutsivi”wavo).

BATISISAI IZVI: Nyaya iri pano ndeyekuti Joseph Branham anogona kutsiva William Branham here sezvinotaura vamwe vanhu. Havasi kutarisa kuti Joseph Branham ane hushumiri huri maari here kana kwete.

Izvi ndizvo zvakataurwa pamusangano wekugamuchirwa kwaJoseph Branham muna 1955. paive nevacheche vakawandisa hama Branham vaida maprofita (muhuzhinji) nevadzidzisi kuti vagomutswa pakati pavo. Uyu waingova munamato waikumbirwa. Vabereki vanoda zvakanaka chete pavana vavo.

55-0724 MWEYA INORAURA

Mwari, tinonyengetera kuti muchamutsa vaparidzi nemaprofita nevadzidzisi kubva paboka revana ava vakapoteredza aritari mangwanani ano. Kuti patinenge takwegura tisisagoni kuita chiro, kuwane anotitora kubva pane imwe nzvimbo kutiisa pane imwe, ngatigoneswe kumira nekunzwa Evangeri richiparidzwa nevana vari pano ava nhasi....

Mukanzvimbo kaduku, kari kure munzvimbo dzekumusoro makavimbisa mwana uyu kwandiri. Baba, ndokumbira makomborero enyu azorore paari. Joseph mwanakomana wangu, ndinokupa kuna Mwari, uye dai hupenyu hwako hwava makomborero kune vamwe. Dai waita muprofita, Josefa; dai nyasha dzaMwari dzazorora pauri. Dai Mwari wababa vako, Ishe Jesu Kristu vakukomborera vaita kuti hupenyu hwako huve chikomborero kune vamwe. Muzita raJesu Kristu ndinoropafadza mwana uyu. Amen.

Hama Branham vakanamata kuti maprofita (akawanda) vamutswe pakati pevana ava, kwete Joseph chete.

Vakabva vanamata kuti kana zvichibvira Joseph agoitawo muprofita. Havana kutaura kuti Joseph aive mprofita. Asi mumakore akatevera, paakataura pamusoro pemusangano wekugamuchirwa kwevana ava, vakashandura mazwi emunamato wavo.

57-0728 NYOTA YEHUPENYU

Imwe nguva ndiri mukereke medu. Vakawanda venyu vakavamwaya nerubapatidzo, kubapatidzwa kwevacheche; ndizvo chaizvo. Tinoedza kutevera Bhaibheri. Jesu akatora vana vaduku akavaropafadza. Isu tinovapa kwaari. Uye pakupa vanakomana paaritari, dzimwe nguva, ndakakurudzirwa kutaura kuti “Joseph uri muprofita waMwari.” uye nedzimwe nguva pandinobva, ndinonamata kuti mugove wemweya wakapetwa ruviri uve pana Joseph kuitira nguva inouya, kana iriko.

Asi muna 1955 pavakapa Josefa kuna Kristu, hama Branham vakataura kuti “Dai wava muprofita Joseph,” havana kuti “Uri muprofita waMwari”.

Joseph Branham haana kubvira aratidzira hushumiri hwemasimba kusvika pachinzvimbo chakasvikwa naWilliam Branham, uye haana kubvira aratidzira chiprofita chemugove wakapetwa kaviri, kaviri kudarika zvakaitwa nababa vake.

Hama Branham sezvinoitwa nemubereki wese, vaidawo kuti Mwanakomana wave aite basa rakakosha.

59-1129 NGATIONEI MWARI

Pandakamupa kuna Mwari mangwanani iwayo, paive nevana vakawanda vakauyiwa navo nanamai vavo vakamira vakakomberedza Aritari. Pandakatora Joseph mumaoko angu, ndisingafungi zvandaitaura, ndakati, “Joseph, mwanakomana wangu, uri muprofita.” Ndiwo munamato wangu zvakadaro, uye ndinotenda kuti zvichava sekudaro rimwe zuva; Mwari achatora zvese zvaakandipa, ozvipeta kakapetwa kaviri, ozviisa pamukomana uyu, zvino pandinobva anobva atora nzvimbo yangu.

“Dai wava muprofita Joseph” zvinoshandurwa kuitwa “Joseph uri muprofita waMwari”, zvosandurwa kuita “Joseph, mwanakomana wangu, uri muprofita”. Ari kuedza kurangarira kupirwa kwakaitwa vana kunaMwari muna 1955 mazwi akashandiswa ari kuramba achishanduka. Kutaura kwekupedzisira kwakasiyana nekwekutanga kunoti, “Dai wava muprofita, Joseph”.

Zvino akatura kuti “Ndiwo munamato wangu”. Uku kwaive kunamata, kwete kuprofita. Munamato waWilliam Branham waitevera waive wekuti Joseph Branham ave nehushumiri “Hwakapetwa kakapetwa kaviri” kukurira hwaaive nahwo iye. Uku kupetwa kanokwana kana kudarika zvaive zviri hushumiri hwababa vake.

Izvi hazvisati zvaitika makore anodarika 50 kubva kufa kwehama Branham.

Joseph Branhama paanozoita hushumiri hwakapetwa kana kudarika hwababa vake, ipapo ndipo paachava pachinzvimbo chekutsiva nzvimbo yababa vake.

Kusvika ipapo, hakuna ariko akataurwa muMagwaro anotsiva Erija wenguva yekupedzisira nekuti Jesu akati “Eria uchavuya hake avandudzi zvinhu zvose”. Kana hama Branham vakadzorera zvinhu zvese, kunenge kusina hushumiri hwakasarira Erisha anotaurwa asi asina kubvira avimbiswa kunguva yekupedzisira. Taive takavimbiswa Erija. Saka vaya vanotevera Erisha havasi mwenga anotaurwa neShoko, nekuti Erisha haana kuvimbiswa kuzuva redu.

60-0522E KUTORA KURERA

Ndinoda kurera mwanakomana wangu uyo, joseph. Ndinoda kumuona ari papurupeti, pandinotora Bhaibheri iri, ... pandinosvika panzvimbo pandinoona Joseph achiparidza semurume wechidiki akazadzwa neMweya Mutsvene, akazodzwa neMweya waMwari pamusoro pake... ndinovimba achava muprofita. Musi wandakamuona pachiri nemakore matanhatu asati azvarwa, rangarirai ndakakuudzai kuti aiuya. Rangarirai pandakamutakura apo parutivi pearitari, ndisingazivi zvandaitaura, ndichidzosera vacheche kunaMwari, ndakati, “Joseph, uri muprofita.”

Tarirai kusiyana kwekutaura kwehama Branham.

Ndakanzwa ndichida kwazvo kutaura kuti, “Joseph uri muprofita waMwari”. Mazwi acho akashanduka kuita, Ndakati, “Joseph, Mwanakomana wangu, uri muprofita”. Mazwi aya akashanduka zvakare kuita “Ndakati, Joseph, uri muprofita”.

Asi zvaakataura muna 1955 zvaive zvekuti, “Dai waita muprofita Joseph”.

Ndangariro dzevanhu dzinorasika tese tinoshupika kurangarira zvinhu zvakanakisa. Saka chingoraramai nekutaura kwekutanga uku kwakataurwa muna 1955.

Hama Branham vaida kuona Joseph ari papurupeti achiparidza. Hapana kutaurwa zvekuridza makaseti.

60-0522E KUTORA KURERA 4

Ndinoda Sara paogani, Becky papiyano, ndinoda Joseph papurupeti.

(Semubereki munhu wenyama, Hama Branham vanoda vana vavo vose kuti vaite mabasa aMwari. Ndezvipi zveizvi zvakazadziswa?)

... kuona mwanakomana wangu amire apo akazadzwa neMweya Mutsvene, achiparidza Evangeri rimwechete iri. Ndinoda kutora Bhuku tsaru iri, ndotaura kuti, “Mwanakomana, ndizvo izvi; nderako. Mira naro. Usarasa Shoko kana rimwe zvaro. Gara naro nguva dzose, huchi. Usambo, usambotya ... usatya kuti anokupikisa ndiyani, ndiyani anokupikisa, Mwari achava newe. Unoparidza Shoko rimwe nerimwe sezvarakanyorwa imomo; Baba vako vachakuyambutsa rwizi.

William Branham aida kuti Joseph Branham atore Bhaibheri rake oparidza Shoko rese rakanyorwa. Hapana kutaurwa nezvekuridza makaseti.

60-0608 KUITA MISANGANO

Kechipiri, ndinoda kurarama kuti ndione Mwanakomana wangu Joseph achizovawo mushumiri; achitora mweya wandichamusiira. Dai Mweya wangu wauya pamusoro pake. Pandakamudzosera kuna Mwari, ndakamira apo ari mumaoko aamai vake ... handizivi, paive nevana gumi kana gumi nevashanu.

Pandakamusimudza, Mweya wakandibata ndikati, “Joseph, mwanakomana wangu, uri muprofita.” Mwari regai mweya wangu uuye paMwana wangu wakapetwa kaviri. Pandichasvika kumagumo kwenzira, uye ndisisina kwandichagona kuenda, ndinoda kupa Bhaibheri iri kuna Joseph, ndoti “hani, usambo, ... usamborasa kana Shoko rimwe. Gara wakatendeka kuna Mwari, kana zvikakutorera zvese zvaunazvo, unoramba uri pachokwadi kuna Mwari.”

Kana ndikakuona uchiita izvozvo, ndikaona Joseph achitora Bhaibheri rangu achifamba kuenda kupurupeti semuranda waMwari akazodzwa,

Aida kuti Joseph aparidze kubva kuBhaibheri. Asi Bhaibheri haritauri pamusoro pemuHedheni pakupedzisira ari “nehushumiri hwaErisha.” Hama Branham apa havana kutaura nezvekuridza makaseti.

60-0716 KUBVA PANGUVA IYOYO

Baba, handigoni kutaura kuti chaive chii. Handizivi. Munoziva moyo wangu, kuti ndiri kurevesa pane zvandiri kutaura. Munondipupurira, Baba. Uye ndicha ... inzvimbo yakanakisa. Mwari, kana mazuva angu apera, ndinodawo kuona Joseph ari murume wandinogona kuisa Bhaibheri iri muruoko rwake. Nekuti pazuva randakamupa kwamuri, Imi makataura. Mukati, “Joseph, uri muprofita.”

Ongororai kushandurwa kwemashoko.

Ndakakurudzirwa kutaura kuti, “Joseph uri muprofita waMwari” zvakashandurwa kunzi, “Joseph , Mwanakomana wangu, uri muprofita” zvakashandurwa kunzi, Ndakati, “Joseph, uri muprofita” zvoshandurwa futi kunzi, “makataura. Mukati, “Joseph uri muprofita.”

Asi zvakataurwa chaizvo pazuva ravakakumikidza mwana kuna Mwari vakati, “Dai wava mprofita, Joseph”. Chaive chisiri chiprofita chaMwari, uku kwaive kukumbira kwehama Branham. Baba vapi nevapi vanoda zvakanakira vana vavo.

Akanamata munamato mumwechete uyu achinamatira vamwe vana vaikumikidzwa kuna Mwari. “Mwari, tinonamata kuti muchachengeta vana ava mosimudza pakati pavo vaparidzi nemaprofita nevadzidzisi pakati pevana ava vakapoteredza aritari nhasi mangwanani ano.”

Ainamatira maprofita, akawanda. Kwete muprofita mumwechete kuti “amutsive” saErisha.

63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU

Zvino, vanongona kuva varipo, dzimwe hama nehanzvadzi dzechiMormoni, uye kunogona kuita vamwe vari kuwana makaseti aya nhasi. Uye handidi kutaura kuti... Vamwe vevanhu vakanakisa vamungade kusangana navo vanogona kuva vari pakati pemaMormoni, vanhu vakanakisa; uye muprofita wavo, Joseph Smith, akauraiwa nevanhu veMethodisiti muIrinoisi, parwendo rwavo vachiyambukira ... uye munhu akanaka iyeye ... Chiratidzo, handipokane zvachose asi akaita chiratidzo. Ndinovimba kuti munhu akazvirereka, asi chiratidzo chaakawana chaive chisiri cheMagwaro saka vaifanira kutsvaga Bhaibheri rechiMormoni kuti zviite.

Pano hama Branham vakadaidza Joseph Smith kuti muprofita. Joseph uyu akashandura Bhaibheri kuti America iitewo nyika yechipikirwa pamwechete neIsraeri. Kushandura zvakanyorwa muBhaibheri handizvo zvinofanira kuitwa nemuprofita. Hama Branham vaingoedza kuita muyo munyoro kuna Joseph nekuti vanhu vazhinji vaitarisira kwaari kuti muprofita. Asi zvakataurwa nehama Branham hachisi chokwadi kana takazvitarisa nenzira yeMagwaro. Muprofita chaiye anofanira kugara neMagwaro. Paakapembedza Joseph nekumudaidza kuti muprofita, nekuda kwemoyo munyoro hazvifaniri kutorwa sechokwadi kuti ndizvo zvaivepo pachokwadi.

58-0328 IMI MUNZWEI IYE

... Maprofita anogumbusa vanhu munzira yavo. Handizviti muprofita.

Hama Branham vaidzikisira hushumiri hwavo dzimwe nguva. Kuzvideredza chiratidzo chemunhu akanaka ane chipo.

Saka paaidzikisira hushumiri hwake, zvichibva pakuzvirereka, hazvaifanira kutorwa sechokwadi.

Hatifaniri kudzokorora zvaaitaura “semaparoti”. Tinofanira kuziva zvatinotaura nezvazvo.

Hakuna magwaro anotaura kuti kune “maparoti” kuDenga.

Mwari anoda kuti muve nekunzwisisa kwakapinza kumagwaro, ruzivo nehuchenjeri.

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23