Mibvunzo yemuBhaibheri iri kufuratirwa nemakereke. Chikamu 2



Mabhuku mana eEvangeri haarwisane sezvo achitsanangura Kristu kubva pakuonekwa kwake ari Mambo, Muranda, Munhu, uye Mwari.

First published on the 22nd of April 2021 — Last updated on the 22nd of April 2021

Zvino tinosvika pamibvunzo yakati kuti inobva paMabhuku mana eEvangeri.

Ngatimboonei tsananguro izere pamusoro pemaBhuku mana eEvangeri kuti tigone kunzwisisa kuti akanyorwa kubva pamaonero mana akasiyana.

Jesu aifanira kuzadzisa hushumiri hwaiita sehwairwisana zvakazara.

NdiManbo ari Muranda zvakare.

Munhu ari Mwari zvakare.

Saka vanhu vana vakasiyana vakanyora pamusoro Pake. Munyori umwe neumwe weEvangeri akasarudzwa kuti atsanangure Hushumiri hwakasarudzika.

Roketi rakasimba kwazvo paese akambovakwa raive Saturn V raiendesa vanhu kuMwedzi.

 

 

Munokwanisa kuona kuti raive nemamota mashanu aifambisa zvinhu. Roketi rimwechete pakati rakapoteredzwa nemaroketi mana.

Roketi iri, rine simba kwazvo kudarika ese akambogadzira nevanhu, raive mufananidzo weSimba chairo riri Kudenga.

Kudenga, Jesu agere pachigaro chehushe akakomberedzwa nezvisikwa zvipenyu zvina kana kuti masimba ezvemweya.

ZVAKAZARURWA 4:2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.

ZVAKAZARURWA 4:6 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.

Meso anotaura pamusoro pehuchenjeri. Kana munhu akatanga kutora zvinodhaka, anoita meso akasviba mukati mawo.

“Zvizere meso” zvinoreva kuti zvaive nehuchenjeri huzhinji zvaiziva zvizhinji.

“Mberi neshure”. Vanoziva ramangwana uye vanoziva zvakadarika.

Izvi ndizvo zvisikwa zvipenyu zvina kana masimba munezvemweya achatungamirira kereke yenguva inouya.

 

 

Vachatungamirirawo vanyori vemaBhuku mana eEvangeri kuratidza maonero avo akasiyana kuti vaprofite pamusoro pezvimwe zviitiko zvaizoitika nguva yaiuya munguva dzemakereke nenguva yeKutambudzika kukuru.

ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.

Kubva munguva nomwe dzemakereke, tinoziva kuti Shumba inomiririra dzidziso dzechokwadi dzemaprofita ekereke yeKutanga.

Nzombe yaimiririra chisikwa chekuurayiwa apo makumi emamiriyoni emaKristu akaurayiwa Nguva yeRima.

Munhu aimiririra vamutsiridzi vakadzorera kuporeswa nekutenda nehutsvene nekuparidzira.

Gondo rakasimuka kuenda pamusoro soro nesimba rePentekositi rikadzidza nekunatsa maonero aro muzvikamu zvemuono wakapinza zvakaziviswa nemuprofita wenguva yekupedzisira William Branham.

Zvisikwa zvipenyu zvina mucherechedzo wemaBhuku mana eEvangeri anotiudza nezvaKristu.

Mateo akashandisa Shumba kutiudza nezvaJesu, Mambo.

Marko akashandisa Nzombe kutsanangura Jesu seMuranda mukuru kwazvo uye mutakuri wematambudziko.

Ruka anotsanangura Jesu seMunhu akarurama.

Johane anotsanangura Jesu seGondo rinobhururuka zvinomiririra Mweya waMwari. Saka, Johane anotizivisa Jesu saMwari pachake.

Zvakadaro, Chigaro chimwechete chinodiwa naJesu kuti agare, kunze kweDenga, mumoyo memunhu akatendeka umo machemba mana emoyo anomiririra zvisikwa zvipenyu zvina.

 

 

Sehumbowo hwekupedzisira hwekuti Jesu anoda kugara mumoyo wemunhu akatendeka.

ZVAKAZARURWA 4:4 Kwakanga kunezvigaro zvovushe zvinamakumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro chovushe; napazvigaro pakanga pagere Vakuru vanamakumi maviri navana, vakapfeka nguvo chena; vakanga vanekorona dzendarama pamisoro yavo.

Vakuru vemarudzi gumi nemaviri muTestamente yekare nemaPostora gumi nemaviri eTestamente Itsva.

 

 

Vakuru gumi nevaviri vagere vakapoteredza chigaro cheHushe.

Pane mbabvu 24 dzakapoteredza moyo wemunhu chigaro chaShe Jesu Kristu.

 

 

Ngatitarisei mimwe mibvunzo yakaoma kupindura pamusoro pemaBhuku mana eEvangeri.

 

 

3. Nei Ruka asina kubvira ataura pamusoro pechishamiso chakaitwa naJesu achifamba pamusoro pemvura?

 

Ruka ndiro Bhuku reEvangerei rechitatu, rinoyanana nechipenyu chetatu, Munhu.

Nepaanogona napo pese Ruka akaedza kutsanangura Jesu seMunhu akarurama.

 

 

Kuna Ruka, Jesu akazvarwa, ari murombo, muchidyiro chainhuwa. Zvinhu zvingori nyore, vafudzi vazere dikita ndivo vakaenda kunomuutira pakuzvarwa kwake.

Dzoto idhende rakazara dikita rinosungirwa pajoko rinoiswa muhuro yenzombe kuti igone kudhonza mutoro unorema. Nzombe inoshanda nesimba ichidikitira asi yozouraiwa kuti idyiwe nyama yavanouraya. Izvi zvaimiririra hupenyu hwaJesu hwaizotevera.

Vazhinji panyika varombo vanofanira kushanda nesimba kuti vararame. Jesu, seMunhu akarurama, anoziva kuti zvinoita sei kurarama savo saka anovanzwisisa.

Vazivi pavakauya makore maviri akatevera kuzonamata Mwana mumba vakauya nezvipo zvehumambo.

Asi Mateo ndiye Akatsanangura Jesu saMambo.

Saka Mateo akataura pamusoro pevazivi vekumabvazuva nezvipo zvakakodzera pakuzivisa Mambo.

Asi madzimambo haana kuberekerwa muzvidyiro zvinonhuwa vachiputirwa mumadzoto anonhuwa dikita rezvipfuwo.

Saka, Mateo akasiya akasiya chiitiko chemuchidyiro chekuzvarwa kwake sezvo zvisingafambirani nekuzvarwa kwaMambo.

Zvakafanana, Ruka akasiya chikamu chevazivi vekumabvazuva nezvipo zvavo sezvo zvisingafambirani nemunhu akarurama anonzwisisa varombo akaberekerwa muhurombo.

Saka, Jesu ndiye Munhu akasarudzika ane mubatanidzwa waMambo akapihwa zvipo zvinodhura asizve achikwanisa kurarama munhamo pamwechete nevarombo nevanotarisirwa pasi. Aifanira kukwereta mbongoro kuti atasve achipinda muJerusarema achikurira. Akakweretawo guva, zvechinguvana. Zvinoita sekuti chaaive nacho chete dzaive mbatya dzake.

Mateo akamuzivisa saMambo ari mumba, atova Mwana, kwete Rusvava.

MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.

Ruka akanyora kuti kwaive kusina zvipo kana chinhu chaakapihwa pakuzvarwa Kwake muchidyiro. Vafudzi vaive kumafuro husiku vanenge vasina zvipo pavari. Vaidisa kwazvo kuona Mwana aive arehwa nevatumwa, zvekuti vakaenda vachimhanya, vatononokerwa. Paive pasisina nguva yekuenda kumba kunotsvaga zvipo zvaive zvakafanira.

Tichiwedzera, Ruka aifanira kuzivisa Jesu Kristu seMunhu akarurama, akangosiya chiitiko chakaitika Jesu paakafamba pamusoro pemvura nekuti munhu haakwanisi kufamba pamusoro pemvura. Kana akafamba pamusoro pemvura anenge ane simba rinodarika remunhu.

Jesu aive akadarika kungova Munhu zvake. Asi Ruka ari kuedza kuratidza rutivi rwake rwekuva munhu pakati pedu. Rudo rwake nekunzwira kwake kwaanoita vatadzi.

Munyori mumwe nemumwe weEvangeri anosiya zviitiko zvisingaenderane nemaonero ake.

Munyori mumwe nemumwe weEvangeri anonyora zvinotsigira maonero ake.

 

4. Mateo naMarko vanoona mutumwa mumwechete pabwiro. Ruka naJohane vanoona vatumwa vaviri. Nei?

 

Kumuka kwaJesu pakupedzisira kwehushumiri hwake kuchadzokororwa pakumuka kwevatsvene vekereke yeTestamente Itsva pakupera kwenguva yekereke yechinomwe. Kereke inenge yamutswa ichatorwa kukwira Kudenga Evangeri roenda kumarudzi gumi nemaviri evaJuda kunodaidza maJuda 144,000.

Saka zviverengo zviviri zvakakosha ndi 7 ma 12.

Mumashure mekupa vane zviuru zvishanu chekudya nevanezviuru zvina achivapa chingwa, Jesu aitarisira kuti vadzidzi vake vanzwisise mucherechedzo wematengu emafufu aive arambwa araswa kuti aive mangani achimiririrei. MaJuda akaramba mafufu echingwa aya mucherechedzo wedzidziso dzeEvangeri dzavaizoramba paCalvari.

MATEO 16:9 Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanhu vane zvuru zvishanu, namatengu amakawana kuti aive mangani?

Vakanonga matengu gumi nemaviri emafufu akaraswa.

MATEO 16:10 Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?

Matengu manomwe echikafu chaive charaswa akanongwa.

MATEO 16:11 Hamunzwisisi neiko kuti handina kutaura kwamuri pamsoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yava Farise navaSaduse

Chingwa mucherechedzo weMagwaro kana Evangeri raive rakanaka. Muchingwa maive nembiriso kuwodza kwevatungamiri vezitendero kwain’oresa vanhu kwovazadza nekuzvikoshesa pavaisimuka vachikwidziridzwa pamusoro pevanhu kana ungano. Tsika dzavaNikoraiti. Mwari akadzivenga kwazvo.

Vadzidzi vakaunganidza mharidzo dzeEvangeri raJesu dzakaraswa nemaJuda vakadzinyora pasi seTestamente Itsva.

Semadzibaba ekereke yekutanga, vakapfuudza dzidziso dzavo kuenda kunguva nomwe dzemakereke.

Kereke yeRaodikia, saizvozvowo, icharamba zvakavanzika zvakaziviswa zveBhaibheri panguva yekupedzisira. Zvakavanzika zvakarambwa nekereke zvichapihwa kumarudzi gumi nemaviri aIsraeri munguva yeKutambudzika kuti padaidzwe maJuda 144,000.

Tinogona kuona nzira iyi muTabernakeri yeTestamente Yekare.

 

 

Chiedza chaibva pachigadziko chemwenje minomwe chinomiririra nguva nomwe dzemakereke.

Zvingwa gumi nezviviri zvechingwa chekuratidzira zvaifanira kudyiwa muNzvimbo Tsvene. Izvi zvaimiririra marudzi aIsraeri gumi nemaviri vadzokera muNyika yavo yeChipkirwa kuti maJuda 144,000 adanwe wo.

 

Musoro wakabatanidzwa nemuviri nemabhonzo emusana atinoti bheki bhoni.

Pano nzira imwechete inodzokororwa.

Mabhonzo manomwe kubva pamutsipa anodaidzwa kuti vhetebhurei nemamwe mabhonzo gumi nemaviri evhetebhurei zvakare anobata mbabvu.

 

 

Kristu ndiye Musoro wekereke kubva kunguva nomwe dzemakereke uyezve musoro wemarudzi gumi nemaviri evaIsraeri.

Zvakadaro, Jesu ndiye dombo reMusoro wekona rakabata Testamente Itsva neTestamente Yekare pamwechete.

VAEFESO 5:23 ... saKristuvo musoro wekereke;

VAEFESO 2:20 Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.

Mapostora ndeveTestmente Itsva. MaProfita ndeveTestamente Yekare.

Jesu ega ndiye anokwanisa kubatanidza Testamente Itsva neTestamente Yekare pamwechete.

 

Nguva dzemakereke dzichapera rini?

Panguva yekukohwa.

Kukohwa kumbori chii?

Apo kana mbeu yekupedzisira yaibva inenge yafanana nembeu yekutanga yakadyarwa nemapostora.

Ipapo, pakukohwa, mbeu inobviswa kubva padavi payakaberekwa.

Izvi zvinoratidza kuti Mwenga akafa achabviswa kubva muguva parumuko, ipapo mwenga wese achabviswa zvakare panyika pavachatorwa kukwira kudenga.

 

 

Saka, kumuka kwevatsvene veTestamente Itsva kunogumisa nguva dzemakereke kwotanga nemaJuda munguva yeKutambudzika.

Saka, mapoka maviri, kereke nemaJuda 144,000, vanoshandwa navo naMwari panguva yerumuko.

 

Mwari vanotumira vatumwa kana vanyai kuvaHedeni munguva yekereke yekupedzisira kuitira kuvagadzirira zviitiko zvenguva yekupedzisira.

Mutumwa kuvaHedeni kana nhume, William Branham, aive akamiririrwa nemutumwa mumwechete pabwiro.

Chinhu chekuti kwaingova nemutumwa mumwechete zvinoreva kuti hakuna achauya achitsiva hama Branham.

Hushumiri hwake hukuru hwaive hwekutidzidzisa kunzwisisa Bhaibheri nekuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri kwatiri.

63-03 18 CHISIMBISO CHEKUTANGA

Zvinotora Bhuku reZvisimbiso rozarurwa roratidzwa kumutumwa wechinomwe, nekuda kweizvi zvega, zvakavanzika zvaMwari, ndizvo zvakavanzika zvemutumwa wechinomwe.

MATEO 17:11 Akapindura (Jesu), akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.

Hama Branham vachazivisa kuti tonzwisisa sei zvakavanzika zveBhaibheri zvese zvinodiwa kuti tigadzirire kukwirwa Kudenga kwekereke.

Saka, hakuna chakasarira mumwe anonzi mutumwa wechisere ( 8th ) (kutaura kusimo muMagwaro) kuti aite.

Mutumwa wechisere anenge akutoreva kuti kune vatumwa vaviri kuvaHedeni pakupedzisira.

Asi Mateo naMarko vanosimbisa kuti kungori nemutumwa mumwechete.

 

Kana kereke yatorwa kukwira Kudenga Evangeri rinoenda kumaJuda 144,000 nemaprofita maviri Mosesi naErija.

Ava ndivo vatumwa vaviri vakataurwa naRuka naJohane.

Saka, kana uri muJuda uchaona vatumwa vaviri.

Kana uri muHedeni uchaona mutumwa mumwechete.

Kereke yakaipa yekuna Zvakazarurwa chitsauko 17 inobata kereke yevaHedeni nedzidziso yakaipa.

ZVAKAZARURWA 17:2 madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe bwayo.

Kana vanhu vakabatwa, vanogona kuguma vakuona zvinhu zviviri zviviri, madzerere.

Saka, kana chero muHedeni akaona vatumwa vaviri kukereke nekuti vanoti kune humwe hushumiri hunotevera hwehama Branham, vanenge vakabatwa.

 

5. Kuna Mateo, hakuna kutaurwa nezvekukwira kwaJesu Kudenga. Nei?

 

Mateo akaona mutumwa mumwechete pabwiro raive risisina munhu Jesu asati akwira Kudenga.

VaHedeni vane mutumwa mumwechete, William Branham, kuti avagadzirire kukwira Kudenga.

Asi kereke yevaHedeni ine zvikamu zviviri: vasikana vakachenjera nevasikana mapenzi.

Vasikana vakadzi vakachena mhandara, mucherechedzo wevanhu vakaponeswa mukereke.

Vakachenjera chete ndivo vane mafuta akakwana eMweya Mutsvene kuti vatungidze mwenje yavo, kana vagadzira mwenje yavo nekubvisa huyipi hwese hwezvivi. Saka, vane mwenje wakakwana kuti vaverenge nekunzwisisa Magwaro.

Kugona kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro ndihwo humbowo hwehuvepo hweMweya Mutsvene.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.

Dambudziko guru, zvichida kudengenyeka kwenyika kwakakurisa, kucharova nyika munguva inouya.

Munhu wese achaona kuti kereke yakakundikana uye kuti vanofanira kusiya makereke avo kana vachida kugadzirira Kuuya kwaShe.

MATEO 25:6 Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere, tarirai chikomba chovuya, budai mundomuchingamidza!

Panguva iyoyo, kutinhira kunomwe kuchareva manzwi ako kuzivisa kuti Mwenga anorarama achagamuchira sei muviri wokubwinya. Ipapo chete ndipo pavachawana kutenda kwekukwira Kudenga mukubwaira kweziso nekuti hakuna munhu achakwira kudenga nemiviri yatinayo.

Mwenga akachenjera chete anogona kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro ndiye achagona kutevera gwara reKutinhira Kunomwe nezvakavanzika zvako zvakavanzwa.

Vasikana mapenzi vasikana mapenzi vanenge vasina tariro.

Vakanyengerwa nedzidziso dzakawanda dzavasingagoni kuronda vachiwana muMagwaro.

Saka vasikana mapenzi havangatorwi kukwira Kudenga ipapo.

Mateo anoguma asina kutaura nyaya yekukwira Kudenga zvinoratidza kuti vasikana mapenzi havasi kuzokwira Kudenga.

Nei vasiri kuzoita izvi?

Nekuti vanotenda zvinhu zvisimo muMagwaro.

Izwi rekutanga risimo muMagwaro rakatanga kugamuchirwa nemakereke raive “Tiriniti”.

Ndipo pavakazarura mukova wekukanganisa.

Makereke akupokana kuti kana Tiriniti iri yechokwadi uye kana riri izwi risimo muMagwaro zvinoreva kuti tinokwanisa kutenda mune zvimwe zvinhu zvisimo muMagwaro. Dzidziso yakafa.

Saka Mateo akagumisa akubapatidza muZita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene.

Idzi ndidzo mbambo dzakazororera Tiriniti.

Vanotenda kuTiriniti vakapofomadzwa zvakanyanya zvekutadza kuona kuti havazivi kuti Zita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene nderekutii.

Totenda Tiriniti nedzimwe dzidziso dzese dzisimo muMagwaro dzakapinda mukereke, vasikana mapenzi asi vakaponeswa havasi kuzokwira Kudenga. Vachafa rufu runorwadza nguva yeKutambudzika.

Mateo ari kutiyambira zviri pachena.

Tsigirai zvamunotenda mazviri neMagwaro chete. Kana kuti muchange muri mudambudziko guru.

Asi maprofita maviri vari kuIsraeri vachaparidza kuti Mwari Wamasimbaose ndiJesu Kristu.

Zvakazarurwa Chitsauko 15 inotsanangura zviitiko zvenguva yeKutambudzika.

Pano tiri kuterera zvinotaurwa nemuprofita wemaJuda Moses paanoparidza.

ZVAKAZARURWA 15:3 Vakaimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwaiana, vachiti: Ishe, Mwari Wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi, Imwi Ishe wavatsvene.

4 Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene;

Gwaiana ndiro Mwari Baba Wamasimbaose. Iye oga ndiye Mutsvene.

Hapana nzvimbo yeTiriniti.

Kuchave kumutswa kunosvota kuvasikana mapenzi munguva yeKutambudzika. Vasati vafa.

 

 

6. Mateo ega ndiye akataura pamusoro pezvidimbu makumi matatu zvesirveri pakutengeswa kwaJesu. Nei?

 

Mateo anotaura nezvaJesu ari Shumba, Mambo.

Mambo vanofanira kuita hushe hwavanotonga.

Mateo anoti “Hushe hweDenga” kanosvika ka31. Hakuna rimwe Bhuku reEvangeri rinoshandisa kutaura uku.

Hushe hunofambiswa nemari dzemutero.

Mateo aive mubati wemari dzemutero.

Mateo 9:9 Jesu wakati achibvapo, akavona munhu wainzi Mateo agere panotereswa. Akati kwaari, nditevere! Ipapo akasimuka akamutevera.

Munhu akadzidza basa rekutevera mari dzemutero anotevera mari yese inoitwa nemunhu paanoshanda.

Saka, Judasi paaiita zvekutsvaga mari, Mateo akanga achitevera mabatiro ake kubva pazivo yake.

 

Hazvishamisi, ndiMateo zvakare akanyora kuti Jesu akaripira muripo nemari yesimbi.

MATEO 17:27 Asi, kuti tirege kuvagumbusa enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri*; uritore, uvape iro, kuripira iwe neni.

Mateo akanyorawo kuti tinofanira kuripira chegumi uye mitero.

MATEO 22:21 Vakati kwaari; ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.

Rugwaro urwu rwakadzokororwa naMarko, Nzombe, Muranda.

Varanda vese vanohora muripo saka vanofanira kuripira chegumi.

Ruka, achizivisa Jesu seMunhu akarurama, anodzokorora Magwaro aya zvakare.

Saka, vanhu vese vanofanira kuripira chegumi nekuripira mutero.

Asi Johane haana kutaura nezvazvo izvozvo.

Johane anoratidza Jesu seGondo, Mwari pachake. Mwari haaripiri chegumi. Zvegumi zvinoripwa zvichipihwa Iye.

 

7. Evangeri raJohane harina mifananidzo. Nei?

 

Mufananidzo, zviitiko zvepasi pano zvatinoona nekubata zvinotsanangura chokwadi chemweya.

Mudyari anodyara mbeu. Mbeu iri pasi chete ndiyo inokura zvakanaka ichidiridzwa.

Saka, mweya yedu “yakanaka” chete kana ikagamuchira nekutenda muShoko raMwari.

Mbeu Mushoko raMwari.

Mweya wakafanana nemvura inodiridzira mbeu.

Mweya munda unodiridzirwa munokwanisa kukura mbeu.

RUKA 8:11 Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari.

JEREMIA 31:12 ... Mweya wavo uchava somunda wakadiridzwa, havangatongovi nokusuwazve.

JOHANE 7:38 Unotenda kwandiri, sezvazvakarebwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.

39 Asi izvi wakareva zvoMweya,

Mvura dzeMweya dzinomeresa mbeu yeShoko mumweya wako nekukupa zaruriro yekuti Shoko raMwari riri kutii chaizvo.

Mifananidzo inoita kuti zvive nyore kuti munzwisise chokwadi cheMagwaro.

Asi Johane ari kushanda naKristu seMweya waMwari.

Saka, mweya waMwari unongopa chokwadi cheMagwaro zvakazara zvakatwasuka

JOHANE 1:14 Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu,

Kutaura kuri pachena kwekuti Jesu ndiMwari panyama.

JOHANE 3:3 Jesu akapindura, akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva haangavoni vushe bwaMwari.

 

“Kuvona” kunzwisisa.

Hatigoni kunzwisisa zvinhu zvemweya kunze kwekunge Mweya waMwari uchigara matiri uchitidzidzisa.

JOHANE 6:66 Kubva panguva iyo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye.

Vhesi rekupedzisira iri rinotiudza zvakachenjera kuti tinogona chete kutora Chiratidzo chechikara kana tikabva paShoko raMwari rakaziviswa.

Saka, Evangeri raJohane rinotaura chete pamusoro peminana minomwe asi mharidzo dzakati wandei pamusoro pezvinhu zvakati wandei.

Jesu, seMweya waMwari, anodisa kwazvo kuti tinzwisise zvakavanzika zveMagwaro zvakaziviswa.

Johane ndiro rega Evangeri rinotiudza kuti humbowo hweMweya Mutsvene chii.

Johane 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Mweya Mutsvene unoburuka kunotitungamirira kuti tinzwisise Shoko raMwari rakaziviswa.

Evangeri raJohane rinotiudza kuti totarisa sei zvinhu kubva pamaonero aMwari.

Vadzidzi vakarwa nemhepo yakasimba kwazvo Jesu akauya kwavari achifamba pamusoro pemvura.

Tarirai kuti Johane akatii.

JOHANE 6:18 Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.

Johane akataura pamusoro pemhepo. Asi haana kutaura kuti mhepo yaivhuvhuta ichirwisa ivo.

Chero zvipingaidzo zvatinosangana nazvo pano panyika, kubva pamaonero eMweya waMwari, zvinhu zvitori mugwara nekuti zvinhu zvese zvinoitira isu zvakanaka muhurongwa hwaMwari.

VAROMA 8:28 Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobata pamwechete kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga.

Kubva pamaonero aMwari, Gondo rinobhururuka harifungirwi kuti richayambuka sei rwizi rwakatsamwa.

Kubva pamaonero eMweya, hakuna chinokanganisika panyika nekuti zvese zviri kuitika nenzira yeZano guru raMwari. Mwari agara ari pakutonga kuzere.

Zvisinei, Marko achinyora nemaonero eNzombe kana muranda, anotsanangura chiitiko ichi kubva pamaonero emuranda.

Marko aiziva kutambudzika kwevadzidzi nekuti mhepo yaivhuvhuta yakatarisana navo. Ndiwo maonero aiita vanhu vaive vakatarisa chiitiko ichi nemaziso enyama.

MARKO 6:48 wakati achivona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa,

Kana uri muranda uri mumugwa unenge uchitambudzika kuti ndoyambuka sei rwizi rwakatsamwa.

 

8. Nei Jesu akaudza Maria kuti asamubate kuna Johane.

 

Zviitiko panguva yerumuko zvaisanzwisisika kuvadzidzi vaJesu.

Izvi zvinotiyeuchidza kuti rumuko rwevatsvene vakafa kubva munguva nomwe dzemakereke ichavewo nguva yekushaiwa kunzwisisa nekugadzikika.

Nyika inofanira kupindana nemarwadzo seekuzvara mwana, senguva yeHondo Yepasi Rese yekutanga neyechipiri Hushe hwemakore 1000 erugare husati hwagadzwa. Covid 19 hutachiwana hwekorona ndehumwe hwakafanana nemarwadzo ekuzvara hwakakonzeresa kusagadzikika kukuru panyika sezvo hwakakanganisa hupenyu hwevanhu vazhinji.

Mukadzi anomiririra kereke.

JOHANE 20:1 Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro

11 Asi Maria wakaramba amire kunze kwobwiro, achichema; zvino achachema akakotama, akadongorera mubwiro.

12 Akavona vatumwa vaviri, ...

18 Maria Magdarene akaenda akavudza vadzidzi, achiti: Ndavona Ishe, vuye kuti wakanga avudzwa zvinhu izvi naye.

Maria Magadarene anogarotaurwa nemazita ake ese.

Hatizivi zita rerudzi rwamai vaJesu kuti vainzi Maria ani.

Saka, Maria aichema, Mai vaJesu, anomiririra maJuda 144 000 vanochema nekuungudza pavachadzorerwa kuna Jesu ava Messiasi. Nekuti vanenge vakuona mavanga ezvipikiri mumavoko ake.

ZVAKAZARURWA 12:1 Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;

2 iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.

Saka, Maria mai vaJesu vanomiririra rudzi rwemaJuda.

MaJuda vachasangana naMosesi naEria, maprofita avo maviri kana kuti nhume mbiri dzakavinga ivo, muIsraeri munguva yeKutambudzika.

51-0509 KUPUPURA

Akamuka kubva mubwiro. Vadzidzi vake vakapararira semakwai asina mufudzi... vamire pabwiro, mai vake vakamirawo vachichema. Kwaive kwaedza chiedza chichipenya; njiva dzaibhururuka, dzichirira. Akati, “Maria.” iye Maria akamuziva.

Maria, mai vaJesu, akamiririra rudzi rwemaJuda vakauraya Jesu zvakamugonesa kukwira Kudenga saMuponesi nekuti Ropa rake raive radeurwa raive raripira zvivi.

Asi maJuda aizoramba Evangeri munguva nomwe dzemakereke.

Vachadzokera kuchokwadi munguva yeKutambudzika inotanga mumashure mekunge vaHedeni vatorwa kukwira Kudenga.

Saka mukati menguva nomwe dzemakereke, maJuda vanenge vasina chekuita neShoko rakanyorwa muTestamente Itsva.

Ndicho chikonzero nei Jesu akaudza Maria, akamiririra maJuda enguva inouya emukereke yenguva yeKutambudzika, kuti vasamubata panguva iyoyo.

Kubva parumuko rwaJesu kusvika pakumuka kwevatsvene vemuTestamente Itsva, maJuda havabati Shoko reTestamente Itsva.

Jesu ndiye Shoko raMwari.

MaJuda vachabata chete Shoko rechokwadi munguva yeKutambudzika, kwete nguva iyi isati yakwana.

 

9. Kuna Johane, Johane akafamba pamusoro pemvura akapinda mumugwa. Pakarepo vakanga vave kune rumwe rutivi rwegungwa. Asi vaive vabva pakati pegungwa. Nei Johane akazvitsanangura nenzira iyi?

 

Iri nderimwe gwaro rakaomesesa paMagwaro ese kuti munhu arinzwisise.

Vaive pakati pegugwa reGarirea.

Vakanga vabva Betisaida kwakanga kwapihwa vanhu 5000 zvekudya naJesu muzvimbo iri mutiraiengo yegirini mumepu inotevera.

 

 

Vakarangana kusangana kuGetsimani, asi kwaive kwatove nerima pavakatanga kufamba. Zvakadaro, vaida kuenda Kapenaume. Vachida kunorara ikoko, asi vakakanganiswa nemhepo huru.

Izvi zvinomiririra hupenyu panguva yeKuuya kwaShe.

Zviitiko zvichange zvichirasisa uye tichange tichivhuvhutwa nemhepo kubva pazvido zvedu zvenyama nemhepo yakatsamwa yematambudziko inotsvaira nyika nevanhu vayo vasina kugadzikana.

Vaive pakati pegungwa, nzvimbo inenge apo pakaiswa X.

Jesu akabva auya achifamba pamusoro pemvura.

JOHANE 6:21 Zvino vakafara kumugamuchira mugwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.

Kubva Betisaida kusvika kuGenesareti pane mamaira manomwe.

Jesu aifanira kuita hushumiri hwemakore manomwe.

Asi akabatira maJuda kwemakore matatu nehafu achibva agurirwa pakati pevhiki (kana kuti pakati pemakore manomwe) paCalvari.

Kubva ipapo, kana takatarisana nemaJuda, akanyangarika.

Makore 2000 anozotevera Shoko raMwari rinozoonekwa zve kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru kuna Mosesi naErija.

 

 

Saka, hafu yechipiri yerwendo urwu ichazadziswa naMosesi naErija. Vachazivisa maJuda 144,000 kuna Messiasi pakupera kwenguva yeKutambudzika (inomiririrwa neGenesareti). Ipapo maJuda anenge ava pamwechete naIshe Jesu.

Saka, mahafu maviri egugwa reGarirea, kubva pamaonero emaJuda, anomiririra vhiki rekupedzisira kana kuti vhiki rechimakumi manomwe repachiprofita chaDanieri. MaJuda anomiririra mahafu maviri evhiki pavanopesana nenguva nomwe dzemakereke.

Kereke yevaHedeni yechokwadi, kurutivi kwayowo, inopesana nenguva yeKutambudzika, zvichimiririrwa neimwe hafu yerwendo.

Izvi zvinomiririrwa naJohane paakarega kutaura pamusoro peimwe hafu yerwondo.

Saka, mapostora ekutanga ari mumugwa anomiririra vatendi vechokwadi panguva yekupedzisira vanodzokera pakutenda kwemapostora enguva yekereke yekutanga. Kana kereke yekupedzisira ikabvuma zvakavanzika zvakanyorwa muMagwaro zvakaziviswa naWilliam Branham, vanenge vakukwanisa kugamuchira Kuuya kwaShe.

Vanobva vabuda mumusungo wenguva.

64- 0119 SHAROMI

Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.

Mutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 anomutsa vakafa vatsvene veTestamente Itsva kubva munguva nomwe dzemakereke.

Akabva ataura kuti nguva haizovipo zve kuvatsvene ivavo vose vari mumiviri yavo yekubwinya isingazooni kuvora.

Kutinhira kunomwe kunoreva kuti kuratidze vatendi vanorarama kuti vowana sei miviri yavo isingazofuki kuvora. Munokwanisa chete kuwana kutenda kwekukwira Kudenga mava mumuviri mitsva sezvo miviri yatiri nayo isingazokwiri kudenga mukubwaira kweziso.

Vatendi vechokwadi, mumiviri yavo mitsva, vese vanobuda muhusungwa hwenguva pavanotorwa kukwira Kudenga kuChirayiro cheMuchato.

Vanopesana nenguva yeKutambudzika.

Kubva pamaonero epasi pano, vanonyangarika pakutanga kwenguva yeKutambudzika vozonyukazve pakupera kwenguva yeKutambudzika.

Kana takatarisana nekereke yechokwadi, makore matatu nehafu enguva yeKutambudzika haaitiki, nekuti haana chaanobata pavari.

Vanobva vadzoka panyika kuAmagedhoni chinangwa chavo chikuru, kugadzwa kweHushe hweDenga hwemakore 1000 erugare. Inowanzodaidzwa kuti Mereniyamu.

Mwari akafanotsanangura izvi kuna Genesisi.

GENESISI 1:5 Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, nama­ngwanani akavapo, zuva rimwe.

Chiedza chenguva yemadekwana nekukanganisika kwedu nekuda kwemasangano edu anotenda zvimwe zviri muMagwaro nezvimwe zvakaipa ndiyo zaruriro yeHama Branham yezvakavanzika zveBaibheri.

Hushumiri hwake hunogona kudaidzwa kuti mharidzo yenguva yemadekwana inotidzorera kunotenda zvakatendwa nemapostora pamagwanani enguva dzemakereke.

ZEKARIA 14:7 Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJehovha, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.

Kunobva kwauya husiku hwenguva yeKutambudzika.

Genesisi haitauri nezvehusiku sezvo vatendi vechokwadi vanenge vasisimo munguva yeKutambudzika.

Vanenge vakudenga vachipemberera Chirayiro cheMuchato.

Kunobva kwauya nguva yemangwanani panotanga Mereniyamu.

Ndiko kuchava kuedza kwezuva rine chokwadi chinotanga nemharidzo yemadekwana.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23