Mibvunzo panhau dzeBhaibheri Chikamu 4
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Satani haana kuita bonde naEva. Muti wekisimisi wakaipa. Chidzidzo chikuru kubva kuna Samusoni. Mwari naJesu. Bhaibheri reKing James Rakarurama.
- Satani aisakwanisa kuita bonde naEva
- Bhaibheri harina kubvira rati kunodiwa muti weKisimusi
- Samusoni akatidzidzisa chidzidzo chikuru kwazvo
- Mwari naJesu
- Bhaibheri reKing James Vhezheni ndiro chokwadi Chikuru
Satani aisakwanisa kuita bonde naEva
Mirongo mikuru yeMuedheni yaive yakaita sezvinotevera.
Mwari aida hupenyu husingagumi panyika. Zvisinei, hakuna munhu anozvarwa nekusangana pabonde akagona kur arama makore anodarika 969. Akararama kusvika apa ndiMetusera. Saka, kusangana pabonde hakupi hupenyu husingagumi.
Mwari akayambira Adamu pamusoro pazvo.
GENESISI 2:17 Asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo
“Kuzivana kwemukadzi memurume” ndiko kudaidzwa kunoitwa bonde pamurairo.
“Zvakanaka nezvakaipa”. Kuda kwaMwari kwakarurama kwaive kwekuti mukadzi azadzwe neMweya Mutsvene aunze Mwanakomana anoberekwa nemhandara, Jesu.
Eva akakanganisa zano iroro.
Mukutendera kwekuda kwaMwari akatendera kusangana pabonde kuti kwakanaka kana kwaive muwanano iri pamurawo pakati pemukadzi nemurume.
Asi kusanga pabonde kunze kwewanano kwakaipa.
Asi zuva raMwari rine makore 1000. saka, tese vakaberekwa nekusangana pabonde takatarirwa kufa tisati tasvika makore 1000. Nhasi uno vanhu vakaneteswa zvakanyanya kubva pamazuva emvura yaNoa hakuchina munhu anosvitsa makore 120.
II PETRO 3:8 Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru, sezuva rimwe.
Saka, pazvikamu zvehupenyu husingagumi, kusangana pabonde chaive chinhu chisina maturo sezvo vese vanozvarwa nekusangana pabonde vakatarirwa kufa uye hapana pakati pedu anoda kufa.
Saka, mukadzi anounza sei hupenyu husingagumi muEdeni?
Zvaigoneka chete kana azadzwa naMweya Mutsvene.
Kumisa mukadzi kuita bonde Mwari akamupa chidzitiro chinonzi humhandara. Chipingaidzo chekuti pasapinde chinhu panhengo yake.
Haagoni kuita bonde naDiaborosi sezvo Diaborosi ari mweya. Mweya haugoni kuita bonde. Kuita bonde kunoda ropa sezvo zvinoda ropa kuti nhengo yemurume imire.
Diaborosi haana ropa saka haagoni kuita bonde.
Saka Diaborosi anofanira kushandisa chimwe chinhu chaive pedo zvakanyanya nevanhu kuti chinyengere mukadzi..
Diaborosi anogona kusvibisa ndangariro dzemunhu oita kuti munhu iyeye aite zvinhu zvakashata.
Bhiza nembongoro zvikasangana zvinobereka nekuti zvakafanana mumasikirwo azvo, asi mwana wazvinobereka haabereke haazvari.
Saka Diaborosi aifanira kushandisa mhuka yakada kufanana nemunhu kwazvo.
Kaini aive asiri mwanakomana waAdamu nekuti munhu anotenderwa kupa mukadzi wake mimba. Adamu haaifanira kurangirwa kupa mukadzi wake Eva mimba.
Saka, Mwari akapa Adamu naEva chidzitiro chehutsvene chakaita kuti vasafunge zvekusangana pabonde. Izvi zvakafanana nevana vadiki vasina pfungwa idzodzo.
GENESISI 2:25 Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.
Asi, kuti avape simba rekuzvisarudzira, Mwari aifanira kuvapa simba rekuita bonde kuti ivo vega vasarudze nzira yakaipa kana vaida havo.
Mhuka yakarangwa ikashandurwa kuitwa nyoka ndiyo yanano isipo pakati pemunhu nemhuka, asi yaive yakada kufanana nemunhu zvakanyanya. aive
Mhuka yakatukwa ikazoshandurwa kuitwa nyoka yakanyenga eva ichiita seiri kuda kumupa zano raive rakasiyana nezano raMwari.
Tsinga dzaEva dzaive dzakazadzwa Mweya Mutsvene waimupa hupenyu husingagumi.
Paakateerera zano risimo muMagwaro raibva kunyoka, kutenda kwake kwakabuda maari nekuti kunenge kwakavakwa pakugona kwedu kutenda kuMagwaro. Magwaro ndiwo Shoko raMwari. Kutenda kwake pakwakabva maari Mweya Mutsvene wakabva wabudawo mutsinga dzemuviri wake. Mwari akabva azadza tsinga dzake neropa kuti arambe ari mupenyu.
Vatungamiri vemakereke vanonyengera vanhu vanoenda kumakereke pamweya nekuvapa mazano akasiyana nezvakanyorwa muBhaibheri reKing James Vhezheni, Shoko raMwari. Zvakataurwa naMwari.
Ndicho chikonzero munguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia, Jesu amire kunze kwekereke. Kana mukazvidza Bhaibheri reKing James Mwari vanokusiyai.
Chivi chekutanga chaisanganisira mhuka ichideura ropa apo mhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka, mhuka hombe yakada kuenzana nemunhurume, yakaputsa humhandara hwaEva.
Nekuda kwaizvozvo, Mwari akada kuti padeurwe ropa remhuka kuripira zvivi muTestamente yekare.
Mwari vakatuka mhuka yakanyengera Eva ikashanduka kuita Nyoka inodaidzwa kuti sependi muchirungu nekuda kwekwayakabva.
Eva paakadzoka kuna Adamu akanga aparadzwa atarisana nerufu. Adamu aimuda zvakanyanya zvekuti akasarudza kuita chivi kuti agare naye akava nekutenda kuti Mwari achavaitira nzira yekupunyuka nayo.
Mwari akaita saizvozvo nekuvapfekedza dehwe rine ropa regwayana raiva risina chipomerwa paakavabvisa mumunda weEdeni.
Hupenyu hwevanhu hwese hunobva pambeu yemurume inoratidzika senyoka kana mhuka yakatukwa naMwari ikashanduka.
Saka tese tiri mbeu yemhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka muzvikamu zvemazvarirwo edu sevanhu. Guvhu ivanga riri pamiviri yedu rinoratidza kuti pane chisina kuita zvakanaka. Chiratidzo chechikara padumbu.
Nekuti takaberekwa nekusangana pabonde tinofanira kufa.
PaKuuya kwaShe, miviri yedu inozoshanduka. Tinenge tisisina ropa tisina guvhu. Munenge makukwanisa kurarama nekusingaperi musisafe.
Bhaibheri harina kubvira rati kunodiwa muti weKisimusi
Kutema muti moushongedza nesirveri nendarama chaive chinhu chakayambiwa nemuprofita Jeremia achiti tisaite sezvo iri tsika yechipegani yekare.
JEREMIA 10:2 Zvanzi naJehovha, "Regai kudzidza tsika dzamarudzi avanhu.
3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; nokuti mumwe unotema muti mudondo, riri basa ramaoko omunhu unoveza nedemo.
4 Vanoushongedza nesirivha nendarama, vanourovera nembambo nenyundo, kuti urege kuzununguka.
Asi vanoenda kumakereke vakazadzwa kwazvo nemazano echipegani asimo muMagwaro akafanana neKisimusi, Santa (mukabvisa “n” ari pakati mukamuisa kwekupedzisira kwezita iri munowana zita rekuti Satan). Maisita egi akabva pana Ishita egi. Maisita bhani kubva pana Ishita bhani. (Nei Hugh Hefner akavaka hushe hwake hwePlayboy nevakadzi vechidiki vakapfeka kunge tsuro?) mabhanzi emuchinjikwa anopisa. “nyeredzi yako nachin’anga inokuudza zvichauya” muhorasikopu yeZodiac (ruregerero, horosikopu).
Makereke emazuva ano anoda kwazvo mhemberero dzechipegani. Vanosvotwa zviri nyore neMagwaro akanyorwa zvinova ndizvo nei makereke ari kutevera chipegani achishaya zivo yeMagwaro. Asi tarisai kutsamwa kukuru kwavanoita pamusoro pechero kutukwa kwetsika dzavo dzechipegani.
Hapana muBhaibheri patakanzi tipemberere kuzvarwa kwaKristu.
Hakuna munhu akarurama akambobvira apembererwa zuva raakaberekwa muBhaibheri.
Kune mazuva maviri chete akaberekwa vanhu akataurwa muBhaibheri, zuva raHerode nezuva raFarao. Vese vakauraya vanhu pamazuva acho.
Musanyengerwe nezvinhu zvinoitwa nevazhinji.
Hove dzakafa chete ndidzo dzinotevera kunoenda mvura.
VAROMA 12:2 Musaenzaniswa nenyika ino;
Samusoni akatidzidzisa chidzidzo chikuru kwazvo
Samusoni aive asina kusimba zvekuberekwa akasimba nevabereki vake zvekuti vaFirisitia vangadai vasina kugona kumubata.
Aive akasimba chete paifamba Mweya waMwari mumuviri wake.
VePentekositi vakamutsa vakafa neminamato.
Kwete vanhu vePentekositi asi Mweya waMwari waifamba muvanhu vePentekositi.
Chidzidzo chekupedzisira chaSamusoni chiri paakanamata kuti afe, aive akaita Mweya waMwari wakawisira
VATONGI 16:30 Samusoni akati, "Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia." Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo.
Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
Paakaisa simba rake guru kuti afe akabva auraya vavengi vazhinji kudarika vaakauraya achiri mupenyu.
Chidzidzo: kana tichikwanisa kufa kuzvivi zvedu, Mwari anokwanisa kutishandisa zviri nani.
Mwari naJesu
Mwari munhu mumwechete. Mweya Mutsvene wakazadza Maria kuti abate mimba yeMwanakomana. (Mateo 1:18)
Izvi zvinoreva kuti Mweya Mutsvene “ndiMwari Baba”.
Munhu mumwechete chete ndiye anogona kupa mukadzi mimba sezvo mwana anoita baba vamwechete chete.
Saka, Mwari haana kubvira adaidzwa kuti “Mwari baba” muTestamente Yekare.
Jesu ndiye “Mwanakomana waMwari” asi hapana muBhaibheri paakadaidzwa kuti “Mwari Mwanakomana”.
Hapana pakanzi neBhaibheri “Mwari mweya Mutsvene”.
Jesu ndiye Munhu maari munogara Mwari. VaKorose 2:9 inoti kuzara kwevuMwari kunogara maari pamuviri.
Mwanakomana Munhu wenyama Baba ndivo Mweya unoshamisa uri Maari. Asi imi muri zvese zviri mamuri.
Mwari haasi mapfupa nenyama. Mwari haasi munhu, Mwari ndiMweya.
Jesu Munhu asi nekuti kuzara kwehuMwari kwakagara Maari, ndiMwari zvakare.
Mwari vakava Munhu. Jesu ndiye ega Munhu ari Mwari zvakare.
Baba neMwanakomana inzira chete yekutsanangura kuyanana kana kubatana kunoita zvemweya unoshamisa nezvenyama kuburitsa Munhu Mwari muMuviri.
Saka, zita remunhu raMwari ndiJesu Kristu.
Kana muchitenda muTiriniti (izwi risimo muMagwaro) yevanhu vatatu vakasiyana hamugoni kuwana zita rimwechete raMwari wenyu weTiriniti.
Vanhu vatatu havagoni kuita zita rimwechete.
Muchati, “Muzita raBaba, reMwanakomana naMweya Mutsvene” asi hamugoni kutaura kuti zita racho nderekuti kudii. Totenda Tiriniti, Mwari akarasikirwa nezita rake.
Murairo wechitatu unoti tisapike nezita raMwari. Vatadzi vanopika muzita raJesu Kristu.
Hamumbonzwi vachipika muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene. Saka, vatadzi vanogona kukuudzai zita raMwari asi vanoenda kumakereke vasingakwanisi. Chinhu chinosuwisa.
ZVAKAZARURWA 4:2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.
Chigaro chehushe chimwechete kudenga mumwechete agere pachigaro chehushe.
Jesu Munhu kunze asi kuzara kweMweya waMwari unoshamisa kunogara maAri.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Semuenzaniso, mune ndangariro dzinoshanda muchiziva (mwanakomana) dzamunogona kudzora nendangariro dzatisingazivi mashandiro adzo matiri (baba) dzine simba guru kwazvo rinotonga mashandiro emiviri yedu (kurova kwehana, nezvimwe) nekuchengetedza mafemero enyu kana makarara. Asi hamuna ndangariro mbiri. Kuratidzwa kuviri kwendangariro dzimwechete.
Munhu Jesu ndiye Mwanakomana nehunhu hwake hwemunhu.
Baba ndivo Mweya unoshamisa unotonga munhu wenyama.
Zvikuru sei, Njiva yemweya Mutsvene inotungamirira Gwaiana rinozvipira kuita basa raBaba.
Zvakazarurwa 4:2 yaive nemumwechete agere pachigaro chehushe.
Asi Zvakazarurwa 3:21 inoita seyakaratidza zvigaro zvehushe zviviri.
ZVAKAZARURWA 3:21 Unokunda ndichamupa chinhu ichi, kuti agare neni pachigaro changu chovushe, seni vo ndakakunda, ndikagara pamwe chete nababa vangu pachigaro chavo chovushe
Asi izvi zvinogona kutipa dambudziko. Kana mamiriyoni evanokurira vese vanenge vakufanira kuva pachigaro chaMwari zvinenge zvakureva kuti chinozowandisa vanhu.
Munokwanisa here kutenda kuti mamiriyoni nemamiriyoni evanhu achagara pachigaro chehushe nekusingagumi?
Chii chinenge chichitaaurwa panonzi chigaro chehushe kudenga?
Mwari ndimweya saka haana moyo wenyama. Moyo wake mucherechedzo werudo rwake kwatiri.
Hakugona kuita anorangarira mamiriyoni evanhu vagere pachigaro chehushe nekusingaperi.
Mhinduro yakanaka yandakanzwa kusvika parizvino nezvechigaro chehushe ndeyekuti mucherechedzo wendangariro dzaMwari dzakadzama kwazvo dzatisingagoni kutsanangura.
Ndangariro dzaMwari dzakadzama kwazvo kana kukura kwazvo kudarika ndangariro dzedu.
Mwari agere newe pachigaro chake zvinoreva kuti Mwari achararama nekusingagumi achikutorai kukuisai pakadzika dzika pekunzwisisa Shoko rake nendangariro dzake.
Jesu, seMwanakomana waMwari, munhu sesu watinogona kufanana naye. Anomiririra Mwari achiuya pasi panyika kuti ave sesu.
Chigaro chake chehushe zvinomiririra ndangairiro dzepanyama dzakadzama dzaanoda kuti tiziviswe.
Baba vanomiririra ndangariro dzakadzama dzeMweya unoshamisa dzatinofanira kudzidzawo.
Bhaibheri reKing James Vhezheni ndiro chokwadi Chikuru
Bhaibheri rimwechete rechokwadi iKing James Vhezheni rakaturikirwa nevadzidzi 47 pakati pegore 1604 negore 1611. Rakazoongororwa zvakare kwemakore 150 risati rapasiswa muna 1769. Rakazoshandiswa nemamishinari ese akabva kuBriteni munguva huru yemamishinari. Vakarishandisa vakariongorora vakararama vachivimba naro kwemakore anodarika zana.
Nguva yemamishinari iyi yakatanga makore akapoteredza 1793 apo William Carey akaenda kuIndia. Bhaibheri reKing James Vhezheni rakararana rikava nhungo dzenguva yakanakisa yemamishinari apo makumi emamiriyoni emamishinari akabva kuEngland achienda mhiri yegungwa.
Nguva yekuvambwa kwemaindasitiri yakatanga makore akapoteredza 1750 pakagadzirwa sitimu injini naJames Watt kuScotland. Ngarava dzemarasha dzakatakura mamishinari kuenda navo kumhiri kwemakungwa apo Engrendi yakapamba inenge kota yese yepasi rese kuti ive hushe hukurusa hwepasi rese. Zvitima zvemarasha zvakaumba nzira dzakatora mamishinari kupinda nawo mudzinyika. Hondo mbiri dzepasi rese dzakaparadza hushe hweBriteni vanhu vekuAmerica vaitaura chirungu vakabva vatonga pasi rese sesimba guru. Kubata kweAmerica kwaive kwetekinoroji nekugadzira intaneti zvekuti Bhaibheri reKing James Vhezheni rava kuwanikwa pasi rese sezvo intaneti isina miganhu yemabhodha.
Mwari aive nezano guru rematanho mana aibata makore 2000 enhorondo yemakereke.
Johane akatorwa kukwira Kudenga.
ZVAKAZARURWA 4:2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.
ZVAKAZARURWA 4:6 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
Mweya waMwari unoratidzwa munzira ina dzakasiyana mukati menhorondo yenguva dzemakereke yemakore 2000. Meso anotaura pamusoro pehuchenjeri. Zvisikwa izvi zvinoziva zvichauya (meso kumberi) uye zvaiziva zvakaitika (zvakazara meso shure). Chisikwa chimwe nechimwe chaive kuratidzwa kweMweya Mutsvene waivepo kutungamirira kereke mukati mezviitiko nezviwanikwa zvinoshanduka munhorondo.
ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
Shumba yaimiririra Shumba yerudzi rwaJuda inova Shoko raMwari rechokwadi sekuziviswa kwarakaitwa nemapostora ekereke yekutanga.
Makore akapoteredza AD 170 nguva yekereke yechipiri yakatanga apo mabhishopu akatanga kusimbisa simba ravo pamusoro pemakereke vakatanga kugadzira kereke yeRoman Catholic. Sezvo simba rezvitendero zvakarongwa rakakura, kurudziro yemapostora akanyora Testamente Itsva yakapedzwa. Kuuraiwa kukuru kwemaKristu nehushe hweRoma yemapegani kwakaparadzira maKristu kukavamisa kupinda Kereke yeRoma. Mugore AD 302 kuuraiwa kwemaKristu kwakatangwa nemubati Diocletian aida kuparadza maBhaibheri ese. Muna AD 312 mubati Constantine akamisa kurwiswa kwekereke akapindira akatora kereke, achishandisa Kanzuru yeNicaea yegore AD 325 kuzivisa Tiriniti.
Zano raSatani rakatevera raive rekubva paTestamente Itsva yemaGiriki saka Bhaibheri rakaiswa mururimi rwechiRatini. Satani akapindira kuti atore kereke.
Muna AD 606 Pope akazvidaidza kuti Bhishopu Mukuru.
Makumi emamiriyoni evaKristu vakaurayiwa nekereke yeRoman Catholic muNguva dzeRima.
Iyi yaive nguva yemhuru duku yakazokura munguva inoda kukwana makore 1 000 eNguva yeRima kuita Dhonza rakabata basa richipikisa kurovererwa kwekereke rikazourayiwa.
Kuchibva kwauya nguva yechisikwa Munhu apo Mwari akakurudzira dzidzo muvanhu.
Muna 1520 Martin Luther akadzorera ruponeso nekutenda muna Kristu chete. Rumutsiridzo rwakagonesa vatendi vaipikisa kuita uku kubva kumakereke eCatholic.
Izvi kwaive Kumutswa kana kuzvarwa patsva apo Mwari akakomborera vanhu kuti vadzidze vaiti mabasa emaoko vakuru, vaimbi, vavezi, vanyori, vananyanduri, nyanzvi munezvemitauro nevadetembi vakavako vari vazhinji.
Iyi yaive nguva yakanaka yedzidzo yevanhu Mweya Mutsvene wakakuridzira vanhu kusarudza zvinyorwa zvakanaka kuti vaturikire. Mweya Mutsvene wakagonesawo vanhu kuturikira mazwi nemo nemo.
Ruzivo hakusisina nhasi sezvo chisikwa Munhu chakavhurira nzira kumuprofita wenguva yekupedzisira wemuono wegondo nemaonero ake anoshamisa anozivisa zvakavanzika zveBhaibheri zvakavanda.
Ndicho chikonzero nei nhasi tava nemavhezheni emaBhaibheri eChirungu anodarika zana apo vadzidzi vanoramba vachipokana pachavo. Nekuda kwaizvozvo, vanoenda kumakereke vari kufunga kuti hakuna Bhaibheri reChirungu richiri rechokwadi. Vanototi Bhaibheri rakaturikirwa zvisizvo, rinozvirwisa uye ingano.
Nekurwisa Bhaibheri reKing James Vhezheni, Diaborosi akaita kuti vanhu vakawandisa vatende kuti maBhaibheri ese akakanganiswa. Saka vanoenda kumakereke havana Mukuru wekuvaka paari kutenda kwavo. Vamwe vatori nehumbwende hwekuti muna 2021 vakatenda kuti jekiseni rekudzivirira hutachiwana raive chiratidzo chechikara. Nguva yeRaodikia yakungobvumirana nechero chinhu.
Nguva yekupedzisira inguva yeGondo. Hatikwanisi kuturikira Bhaibheri mumazuva edu. Kurudziro yaMwari yakaenda kumuonero wegondo kuti utipe muono muzvakavanzika zvaMwari. Mwari ari kutikurudzira nhasi kuti tione nzira dzeBhaibheri dzakadzama dzinoyananisa mavhesi eBhaibheri pamwechete.
Saka, nguva yedu haisi kukurudzirwa nemweya kuti ibatanidze maBhuku ekuti iturikire. Tinoshandisa zvakasiiwa nenguva dzakadarika nekuti dzidzo muvanhu yaive yakakomborerwa. Nhasi tinotaura muono wakadzama muzvakavanzika zvaMwari zvakaziviswa.
Zvibvunzei mibvunzo iyi kana muchifunga kuti munonzwisisa Bhaibheri.
Nei Mateo asina kutaura pamusoro peKukwira Kudenga kwaJesu?
Nei Marko naJohane vasina kutaura pamusoro pekuzvarwa Kwake?
Nei Ruka asina kutaura kuti akafamba pamusoro pemvura?
Kuna Johane mumashure mekumuka kwake kubva kuvakafa, akaudza Maria kuti asamubate. Kuna Mateo, akasiya Maria achibata tsoka dzake. Tsanangurai.
Nei akachema paguva paRazaro iye achiziva kuti achamutsa Razaro kubva kuvakafa?
Nei Erisha akatuka vana 42 vakafa nekuti vaive vamutsvinyira?
Nei Davidi akadya Chingwa chekuratidzira chemaPrista akasafa?
Iyi mibvunzo isina mhinduro isingagoni kudairwa nevanoenda kumakereke asi mumweya unoshamisa ziso regondo richatizivisa nekutionesa kuti todaira sei.
Hatichatsvage kuti titurikire zviri nani. Nguva iyoyo yakadarika muna 1769.
Ikozvino takutsvaga kunzwisisa zviri nani.
Hakuna chakasiiwa muvhezheni remuna 1769 reKing James. Ndiro Bhaibheri rakarurama.