Mharidzo iri pamusoro pei



Dzidziso dzaWilliam Branham dzinozivikanwa nekunzi Mharidzo. Dzinotidzorera kudzidziso dzaPauro nemapostora.

First published on the 13th of April 2024 — Last updated on the 13th of April 2024

Kereke yemaKristu inovakwa nemabwe anorarama vakapindana nenguva nomwe dzemakereke dzakasiyanakana nguva dziri mumakore 2000 enhorondo yekereke.

Zviitiko zvina zvakakosha zvakabereka kereke. Jesu akazvarwa saka Mwari akava nyama pakati pedu. Akava muPrista wedu mukuru apo Johane Mubapatidzi akamushambidza Mweya Mutsvene ukamuzodza pamahombekombe erwizi Jorodani. Akava Muponesi wedu paakafa pamuchinjiko akamukazve kuva mupenyu.

Chiitiko chechina chakave apo Jesu akadzoka ava Mweya Mutsvene pazuva rePentekositi kuti ave Mwari matiri. Kereke yakazvarwa, zvisinei nekukanganisa kwevanhu, ndiyo chaiyo yaive kereke yaidiwa naMwari chigadziko chemwenje chekutanga chaive nemarimi emoto akafanana nemisoro yavo.

 

 

Kereke yekutanga chete ndiyo ine chokwadi chakazara sezvo Johane akaona Jesu pakati kana kuti pamoyo wechigadziko chemwenje. Dzimwe nguva dzese dzemakereke dzinofanira kufanana nenguva yekereke yekutanga.

ZVAKAZARURWA 1:13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu,

Asi Jesu akaratidza kutsamwa nekuti aiziva kuti kereke yaizowira pasi kubva pakuita kwekereke yemapostora.

 

 

Nguva yekereke yechipiri yakatendera muprista kuita musoro wekereke pachinzvimbo chekuti boka revakuru ritonge kereke. Mazano evanhu anopararira. Bhishopu akava musoro weboka remaprista.

57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHECHITANHATU 1

“Asi ndinovimba musimba guru resangano repanzvimbo.

… Ndiratidzei neBhaibheri kuti chikuru chii, muBhaibheri, kudarika MUKURU KANA EREDHA kukereke yepanzvimbo?​​​

 

I PETRO 5:1 Vatariri vari pakati penyu ndinovakurudzira, vandiri mutariri pamwe navo nechapupu chematambudziko aKristu, nemugovani wekubwinya kuchazoratidzwa.

2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, muchitaridzira, kwete nekurovererwa asi nekuda, kwete nekuda kwekukarira fuma yakaipa, asi nechido,

3 kana kuva semadzishe pane vamakagoverwa, asi muri mifananidzo yeboka.

Nguva yekereke yechitatu yakaona Tiriniti isimo muMagwaro ichipida pakanzuru yeNecaea muna AD 325. Chokwadi chakafa. Negore AD 350 Kisimusi isimo muMagwaro yakapindira ne25 Zvita. Zvakaipa zvakaramba zvichipinda pamwechete neChishanu Chakanaka , Muvhuro weIsita, maIsita bhani, maIsita egi, maRenti, Archibhishopu, Pope, maMasi, Sabata yemusi weSvondo, mvura tsvene, kuponeswa nemaMasa akanaka, kunamatira vafi, rozari, chipiyaniso, nezvimwe zvakadaro.

Nguva yekereke yechina yakaona chokwadi cheBhaibheri chichivigwa mutsvina nehondo dzeNguva dzeRima. ZVAKAIPA ndeapo kereke yaifamba ichibva panguva yekereke yekutanga.

 

 

Martin Luther kuGermeny akadzorera kuponeswa nenyasha kupfurikidza kutenda. Mashizha manyoro eRumutsiridzo akatanga kumera mukereke yechishanu. Bhaibheri dzvene reKing James rakaturikirwa kuiswa muChirungu.

Munguva yekereke yechitanhatu, munhu wechingezi John Wesley akadzorera hutsvene nekuparidzira zvakasvitsa kunguva huru yemamishinari yakabva paBhaibheri reKing James Vhezheni.

Munguva yekereke yechinomwe, zvipo zvePentekositi zvakadzorerwa paMugwagwa weAzusa mugore 1906 muLos Angeles.

Pakati pegore 1947 negore 1965 William Branham kuAmerica akazivisa zvakavanzika zvaMwari muBhaibheri kuti Mwenga kana vasikana vakachenjera vadzorerwe kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga. Muchirungu (LIVE) KURARAMA rikatendeudzwa rinoburitsa izwi rekuti (EVIL) ZVAKAIPA. Kereke yatanga kudzokera kunguva yekereke yekutanga.

Izvi ndizvo zvakaitika kuvasikana vakachenjera nekuti vanonzwisisa zvakavanzika zvaMwari (muhuwandu hwazvo).

DANIERI 12:10 Asi vakachenjera vachanzwisisa.

 

 

Zvisinei, kuna Zvakazarurwa Chitsauko 3, kereke yeRaodikia (vanogadzira voga zvitendero zvavo mukereke zvisingagoni kutsigirwa nekushandisa Bhaibheri reKing James Vhezheni) inotsanangurwa ichinzi yakavata yakakotsira. Pane zvisina kuita zvakanaka zvachose.

Kereke imwe neimwe ina pasita anoitonga asi mukereke yekutanga maive musina zvese izvozvo.

Ipapo, pachinzvimbo chekushandisa zvakataurwa nehama Branham kuzivisa Magwaro, vanhu vakawanda vemharidzo vakaita nguva vachiedza kuturikira mharidzo dzakasarudzwa dzisina kubvira dzatendwa madziri nekereke yekutanga.

Vakashandisa zvakataurwa kururamisira kurambana nekuroorazve kwevanhu. Asi wanano dziri pamutemo dzinoti kusvikira taparadzaniswa nerufu.

MARKO 10:11 Akati kwavari: Ani nani unorasha mukadzi wake, akawana umwe unoita vupombwe kwaari.”

Kugurwa kwega kunoitwa muchato ndeapo mukadzi aonekwa asiri mhandara asina zvakare kunge amboreurura asati awanikwa. Anenge aita chitsidzo chenhema saka sungano yewanano iyoyo inenge isiri pamurairo.

Barika haritenderwi.

610806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE

“Asi zvakadaro, barika rakaipa; tozviziva.”

Saka, nhasi hakuna kudzoka kwechokwadi kune zvakatendwa pakereke yekutanga. Kunzwisisa kuti chiedza cheBhaibheri chiri kudzima mumakereke vanongoramba vachidzokorora zvakataurwa vachifuratira Magwaro anovapikisa.

Dzidziso dzekukwidziridza vatungamiri vemakereke dzakasimudzira hama Branham kuvaita Izwi raMwari. Testamente Itsva haina kubvira yativimbisa Izwi raMwari. Saka chitendero ichocho rwendo rwusina kwarunoenda.

 

 

60-0804 APO GONDO RINORINGA DENDERE RARO

“Tinoziva kuti Bhaibheri rakarurama:

Harisi izwi rangu; ndiro Izwi raMwari,

 

64- 0823 MIBVUNZO NEMHINDURO . 1

“Asi vanokwanisa kugamuchira Shoko mukuzara kwaro,

Kwete nekuti ndini ndiri kuriparidza, asi nekuti Bhaibheri riri kutaura kudaro.”

Kudzorerwa kune zvakatendwa mukereke yekutanga ndiko kwakakosha pamharidzo.

 

 

Chisikwa chipenyu Gondo chinofanira kutitungamirira kuTestamente Itsva yakanyorwa yenguva yechisikwa-Shumba nguva yemapostora.

Ndicho chakavanzika chaMwari (mumwechete).

61-0108 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHINA.3

“Ndakarangarira muchiratidzo changu pandakaona huvepo hwaMwari, kana vanhu vake kune nzvimbo iyo iri kure, ndakatarisa pakapoteredza, ndikavaudza ... vakandiudza kuti vaizotonga neEvangeri randichaparidza.

Ndakati, sezvakaparidzwa naPauro!

Mamiriyoni evanhu akadanidzira, takazorora pane izvozvo! Mazviona? mazviona”

Goho ndeapo mbeu yekupedzisira inofanana nembeu yakadyarwa pakutanga. Ipapo mbeu inokohwewa kana kubviswa padavi rakafa.

Mwenga achabviswa panyika achikwira kudenga.

 

 

1947 raive gore rakakosha.

Mushini wekufambisa Mashoko wekutanga wakagadzirwa nevanhu vatatu vekuAmerica. Izvi zvakatungamirira kusvika pakugadzirwa kwemakombiyuta neintaneti nzira imwechete chete inokwanisa kushandiswa zvisina muganhu kusvika pasi rese. Chirungu chinobata 60% yeintaneti. Kwouya chekuRussia chine 10%. mimwe mitauro yose mishoma kwazvo.

MATEO 24:14 Evangeri iyi yovushe ichaparidzwa nyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.

Muna 1947, Israeri yakapihwa mvumo yekurwira musha wayo wechipikirwa neMubatanidzwa wenyika dzepasi rese.

Muna 1947, mutumwa akauya kune Hama Branham kuti amupe basa rekuporesa nekuprofita mifungo yevanhu mukereke yevaHedeni. Tepi rekodha yaive ichangogadzirwa Hama Branham vakatanga kurekodha kana kutapa mharidzo dzavo muna 1947. “Izwi” remutumwa wechinomwe. Tinogona kuverenga nekuterera mharidzo dzavo mumakore 60 avaive vasisiri panyika. Mumazuva “ezwi” remutumwa wechinomwe.

Dzidziso dzake dzakaita mvura, mvura yedzidziso.

 

 

Mvura yekukohwa ichatanga mumashure mekumuka kwevatsvene veTestamente Itsva kubva kuvakafa. Ndidzo nheyo dzedu dzekutangira.

Pakuuya kwake kweKutanga, Jesu akakwira Kudenga mazuva makumi mana mumashure mekumuka Kwake kubva kuvakafa.

Nzira iyi ichadzokororeka. Mwenga achakwira Kudenga mazuva makumi mana mumashure mekumuka kweMwenga weTestamente Itsva.

Mukati memazuva 40 ndipo pachazova mvura yekupedzisira kana mvura yekukosha apo Kutinhira kunomwe kunozivisa Mwenga kuti oshandurwa sei muviri kupinda mumuviri usingafugi kuwora. Hamugoni kutorwa kukwira Kudenga mumiviri ino izere zvivi. Saka, kutenda kwekukwira Kudenga kunofanira kushandura miviri yedu kuti tigone kukwira Kudenga.

Kutinhira kunomwe kunoreva kumaprofita maviri echiJuda Mosesi naErija kuti kuvape simba ravo guru pamusoro pemamiriro ezvinhu panyika.

63-0321 CHISIMBISO CHECHINA

“Mirirai kusvikira Kutinhira kunomwe kwareva mazwi ako kuboka vanogona kutora Shoko raMwari voriisa apo. Rinocheka nekugura. Havazogoni kuzarira denga; vanogona kupfiga ichi nekuita icho, chero chavada. Ngaakudzwe.”

Vanobva vatora maJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru yemakore matatu nehafu.

Kristu ndiye Musoro wekereke.

Musoro unobatanidzwa nemuviri kupfurikidza bhonzo remusana kana kuti sipaini. Unofanira kusimba musana kuti umiririre Chokwadi.

Bhonzo remusana rine mavhetebhureyi manomwe pamutsipa anomiririra nguva nomwe dzemakereke. Kune mabhonzo evhetebhureyi gumi nemaviri echipfuva nembabvu. Izvi zvinomiririra marudzi gumi nemaviri aIsraeri achadzokerwa naMwari kana atora kereke kukwira nayo Kudenga.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23