Mereniyamu Chikamu 4: Chiratidzo chaEzekieri



First published on the 14th of October 2021 — Last updated on the 14th of October 2021

Ezekieri akaona nzvimbo dzakasiyana zvakanyanya dzine zviitiko zvemweya muzviratidzo zvaaisangana nazvo. Aiona zviratidzo zvenguva yeKutambudzika nezvenguva yeMereniyamu. Mifananidzo iyi ingoriwo mifananidzo here kana kuti ndeyemweya kana kuti zvese? Zvakaoma kuwana mhinduro dzimwe nguva. Nguva yeKutambudzika ichanzwisiswa zvakanaka nemaprofita maviri Mosesi naHerija vanoenda kumaJuda. Mwenga anobva kuvaHedeni haasi kuzopinda munguva yeKutambudzika.

Saka tinoita setinotarisa zviitiko zviviri izvi nemuchivoni voni chiri murima.

Asi ngationei kuti chii chatingagone kunzwisisa.

ZEFANIA 3:9 Nokuti nenguva iyo ndichavigira vanhu rurimi rwakachena, kuti vose vadane zita raJEHOVA, vamushumire nomwoyo mumwe.

Nguva iri kuuya apo Mwari achasika mutauro wakanaka wekuti vanhu vachashandisa muHushe hwaMwari.

54-0401 KUGADZIRIRA KWAMWARI

Hushe hwaMwari huchatonga nekubata hushe nekuparadza nyika dzose, mireza yese, kuchange kuine mureza mumwechete, ndiwo Muchinjikwa Wekare. Kuchaita mutauro mumwechete; uchave wedenga. Hareruya. Vanhu vamwe, vachave vatsvene, vachatonga nekubata hushe pamwe naKristu ari pachigaro chaDavidi, baba vake, votonga nekubata hushe ikoko kwemakore chiuru eMereniyamu, ndiwo achazova magumo enyika itsva.

MuMereniyamu tichava nemutauro umwechete uchataurwa nemunhu wese.

Tinogonawo kuona mufananidzo weIsraeri vachirarama munzvimbo dzavo dzavakapihwa Munyika yeChipikirwa.

Uku ndiko kuchava kuzadziswa kwekupedzisira kwevimbiso yaMwari yeNyika yeChipikirwa kuna Abrahama.

Tsoro inonetsa kutsanangura: Dani naEfuremu vanenge varimo muMereniyamu asi vainge vasiri pakati pemaJuda 144,000 vakabuda munguva yeKutambudzika.

 

 

Mereniyamu, Jesu achitonga ari Mambo, ndiyo nguva yekutanga yeDenga pano panyika.

65-0829 EDENI RASATANI

“Kwaive kusisina gungwa; Denga rekutanga nenyika yekutanga zvaive zvadarika.”

Denga redu rekutanga raive ripi? Raive Mereniyamu. Nyika yekutanga yaive ipi? Iyo ino.

 

MaJuda 144,000 vachadaidzwa kubva munguva yeKutambudzika inouya Mereniyamu isati yatanga.

Saka nguva yeKutambudzika ichiri kunze kwedenga nekuti inoitika Denga risati ratanga.

DEUTERONOMIO 29:18 kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomoyo unotsauka kuna JEHOVA Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo;

20 ... JEHOVA uchadzima zita rake pasi pokudenga.

Mereniyamu ndiyo Denga rekutanga.

Marudzi anotendeukira kunonamata mifananidzo achadzimwa mukati menguva yeKutambudzika inouya Denga risati ratanga panyika.

II MADZIMAMBO 10:29 Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBetieri, nedzaiva paDani.

VATONGI 4:5 Iye waigara pasi pomuchindwe waDebora, pakati peRama neBeti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu;

Betieri raive riri pamuganhu wenyika yaEfuremu.

Dani ndiro raive guta guru munzvimbo dzerudzi rwaDani.

 

 

Saka Dani naEfuremu vakabviswa kubva pamaJuda 144,000 vanodaidzwa kubva munguva yeKutambudzika asi vanodzoka munguva yeMereniyamu sezvo riri Denga rekutanga.

Zvakazarurwa Chitsauko 6 inopera neChisimbiso chechitanhatu, nguva yeKutambudzika.

Zvakazarurwa Chitsauko 7 inobata mapoka maviri anobatwa naMwari nguva yeKutambudzika. MaJuda 144,000 neruzhinji rwevasikana mapenzi kana kuti vasikana vakanyengerwa asi vakaponeswa (vasika mhandara dzakachena kana kuti vanoenda kumakereke vakaponeswa) asi vakarasiswa kana kunyengerwa nevakuru vemakereke avo asi vanofanira kufa munguva yeKutambudzika. Hutsinye hwenguva yeKutambudzika hunovatyisa votsvaga kutevera Magwaro. Vanovhurwavo meso avo kuti vaone kunyengerwa kwese kwavakaitwa nevakuru vezvitendero zvavo vavakatevera muhuranda.

ZVAKAZARURWA 13:11 Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwaiana,, chikataura seshato.

Nyati yeAmerica.

Matunhu gumi nematatu kumahombekombe ekumabvazuva akawana kuzvitonga kuzere muna 1776. Mureza wavo une mitsetse 13 nenyeredzi 13 mudenderedzwa.

 

 

Gungwa ndivo vanhu vazhinji vasina kugadzikika vagere muEurope chiRoman Catholic, chikara chekutanga, pachakasimuka kuva nesimba. Nyika inomiririra America yekumusoro kwakaurayiwa vanhu vakawanda vaive mumaruwa eAmerica nechirwere chemhezi. Saka kwaive nevanhu vashoma kwazvo maIndia eAmerica vaigara munzvimbo dzekumadokero. Ikoko America yakakura pasina aiona kuita simba guru pasi rese apo masangano anopikisa chiCatholic akapunyuka achipinda muAmerica achibva kuEurope.

Tarirai Chisimbiso cheAmerica.

Mashizha 13 emuorivhi nemichero yacho zvakamiririra runyararo. Nemiseve 13 yakamiririra hondo.

Moto yavo “E Pluribus Unum” ine mabhii 13.

Zvinoreva kuti “Kubva Muruzhinji tiri vamwe” kana kuti “Kubatana mukusiyana kwedu”.

Saka 13 ndicho chiverengo cheAmerica yekumusoro.

 

 

13 chiverengo chekumukira Mwari zvakare.

GENESISI 14:4 Vakanga vava varanda veKedoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu

Nyanga mbiri dzaimiririra kupatsanurwa kwesimba rezvematongerwo enyika nesimba rekereke.

Kereke isina Pope nebato rezvematongerwo enyika risina mambo anogara chigaro.

Simba rehurumende rinobatwa nevanhu. Vanhu vanopa simba kuvatungamiriri vavanosarudza kuti vavamiririre nekushandira zvido zvavo.

Pakutanga, America yaive nevatungamiri vainamata vakaita saWashington naLincoln nemadzibaba avo ekutanga vakavamba bumbiro remitemo rakanakisa. Chikara chaitaura segwaiana.

Asi nekufamba kwenguva Satani akapinda munezvematongerwo enyika nemukereke zvakare. Hunyengeri muchitendero hwakabatana nesimba rezvematongerwo enyika kuti vapinde munezvemabhizimisi makuru.

Vanhu vakakandirwa naJesu panze peTembere vaive vanhu vaiita mari nechitendero. Mari zhinji yakazarura mikova kumadhimoni mumabhizimisi, zvematongerwo enyika nehupenyu hwekereke.

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

Izvi zvinoreva kuti:

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa [chikara chehupfumi America] masimba okupa mufananidzo wechikara mweya[mari ndiyo ropa rinoraramisa bato rekereke] , kuti mufananidzo[kubatana kwemasangano emakereke asiri maRoman Catholic] wechikara [kereke yeRoman Catholic] utaure [makereke anotaura nesimba rekutonga nekuda kwesimba ravo rezvemari vanhu vachitoterera] , chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

Makereke anozivikanwa achatanga kuwana simba rakadaro rezvematongerwo enyika munguva yeKutambudzika zvekuti vanozogona kuparadza vasikana mapenzi. Ava ndivo maKristu akaponeswa vanopepuka kubva mukunyengerwa nemakereke asingatevere Magwaro asi vanenge vanonoka. Saka vanopesana nekutorwa kukwira kudenga kwekereke (kunonyanya kudaidzwa kuti Repucha) vachifanira kufa munguva yeKutambudzika. Jesu haasi kuuya kuzotora vanoenda kumakereke vakanyengerwa vanosarudza tsika dzemakereke pachinzvimbo cheMagwaro akanyorwa.

 

Tekinoroji ichange isimo muMereniyamu. Kuchange kuine hupenyu huri nyore kwazvo. Kusina motokari kana ndege.

63-0728 KRISTU NDIYE CHAKAVANZIKA CHAMWARI CHAKAZIVISWA

Rusifa (Nyamasase), pakutanga, chinangwa hake mumoyo chaive chekuita chinhu chikuru chakabwinya kudenga kudarika zvaiitwa naKristu, ndizvozvo here, nenzira inoita seyakanaka, yakarurama, ine hunyanzvi, kudarika Hushe hwaKristu. Kufunga kwenyu tichave nemichovha here muMereniyamu, nendege? Mazviona? Maona zviri kuitwa naRusifa?

Zvino, masangano makuru anehunyanzvi mukuitwa kwawo ari kuita chinhu chimwechete ichi. Mazviona? Vari kuungana vachizviita sangano, mumwe nemumwe achiedza kukurira mumwe. Apa vasvika pakupererwa zvekuti havachaziva zvekuita asi kubatana nekereke yeCatholic. Mazviona? Rusifa zvakare achivaka hushe hwakakura, kuti asairire vanhu kunze vaya vasingatendi mumasangano; otora zvivakwa zvemakereke avo azviita nzvimbo dzekuchengetera zvinhu, mufundisi weboka rakadaro haana kodzero kana simba pazviri zvachose.

Munhu akatumwa naMwari haangagoni kugara musangano kana akanzwa kana kuona zvakadai, kana akagona kubuda kunotsvaga nezvazvo. Chokwadi. Mazviona? Handisi kutaura izvi ndichituka; ndiri kutaura chokwadi, mazviona, zvaziviswa.

Nekusvibisa hunhu hwemunhu, makereke anoparadza zita remunhu anoedza kutevera Magwaro zvakazara. Makereke makuru anogona kuratidzira kuti vanonamata nekuisa mafaro emimhanzi zvekuti misangano inoitirwa mudzimba haigoni kukwikwidza naizvozvo. Pakuratidzika zvinhu zvakanaka kwazvo asi zvisina nheyo dzeBhaibheri. Hakuna kutaurwa nezvengoma muBhaibheri.

Nhasi, kunamata mukereke kunonyanya kukoshesa kurova ngoma.

MaKristu akaponeswa, vasikana mapenzi vanoramba Shoko rechokwadi cheBhaibheri rakaziviswa vachibatiririra pavakuru vemakereke avo, vachazarurwa meso avo nemarwadzo enguva yeKutambudzika. Vacharamba kukanganisa kukuru nekumukira kwemakereke munguva yeKutambudzika. Nekuda kwaizvozvo, vachabviswa pahupfumi hwenyika nekuvhimwa vachivurawa.

57-1006 MIBVUNZO NEMHINDURO KUNAVAHEBERU.3

Zvino ivo [maprofita maviri kuvaIsraeri] pavakakadzoka vakaparidza makore matatu nehafu vari pasi pezodzo reMweya Mutsvene, apo maropafadzo anotorwa kubva kuvaHedeni, kereke yotorwa kukwira kudenga, uye kereke, yakatonhora inovhimwa sembwa nemakomiyunisiti nemapato eRoma ... kana vavhimiwa vauraiwa, ...

ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa [Chikara America] masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, [Masangano emakereke anopikisa chiCatholic akabatana] kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.

MaJuda 144,000 anosangana naMessiasi wavo munguva yeKutambudzika vowuraiwa.

ZVAKAZARURWA 6:9 Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;

Hakuna zvikara zvedenga zvinenge zviripo.

Zvikara izvi zvaichengetedza Mwenga munguva nomwe dzemakereke. Saka kereke yakatorwa kukwira Kudenga nguva yeKutambudzika ichibva yatanga.

Ava ndivo maJuda vakaurayirwa kutenda kwavo munguva nomwe dzemakereke. Vanotenda muTestamente Yekare asi vanofanira kusimbisa kupupura kwavo neRopa ravo.

Kukanganisa kukuru kwakaitwa nemaJuda Pirato paakawana Jesu asina mhaka kwaive kukumbira rufu rwake.

MATEO 27:25 Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.

Saka maJuda anofanira kutenda kuTestamente Yekare nepavanogona napo vozourayirwa kutenda kwavo.

ZVAKAZARURWA 6:10 Vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wazvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira riniko?

MaKristu vanofa voregerera vakavauraya.

MaJuda anotenderwa “kutsiva ziso neziso”. Vanotenderwa kutsiva.

Mwenga anenge akwira kudenga saka maJuda ese kubva mumakore 2000 enhorondo yekereke anenge akuda kuti Mwari aburuke anoparadza vaHedeni vakavarwadzisa nekuvauraya kwemakore 2000.

ZVAKAZARURWA 6:11 Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.

MaJuda havana kubvira vagamuchira Jesu saShe naMuponesi wavo, asi Mwari nenyasha dzake, nekuti aive akavapofomadza, anovapa nguvo chena dzeruponeso sevana vaAbrahama. MaJuda ndivo rudzi rwevasanangurwa vaMwari.

VAROMA 11:24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi, uri wokudondo pakusikwa kwawo, ukabatanidzwa pamuorivhi wakanaka, zvichipesana nokusikwa kwazvo zvikuru sei ava vari matavi awo,vangabatanidzwa pamuorivhi wavo!

25 Nokuti hama dzangu, handidi kuti musaziva chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi; kuti kuwomeswa kwomoyo kwakavuya pamusoro pavamwe vavaIsraeri kusvikira kuzara kwavahedheni kwapinda;

Asi maJuda anofira kutenda kwawo aya akapofomadzwa naMwari vanoudzwa kuti vamirire kwemakore matatu nehafu. Iyi ndiyo nguva yeKutambudzika kukuru munofanira kuurayiwa mamwe maJuda. Ava vanosanganisira maJuda 144 000 avo meso avo achazarurwa kuti vagamuchire Messiasi wavo pakupera kwenguva yeKutambudzika. Vanourayiwa nekumutswa kuti vanoperekedza Mwenga paanodzoka naJesu kuhondo yeArmagedoni.

MaJuda 144,000 vanodaidzwa kuti zvibereko zvekutanga.

ZVAKAZARURWA 14:4 ... Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokuGwaiana.

Zvibereko zvekutanga mucherechedzo werumuko.

I VAKORINTE 15:20 Nokuti zvino Kristu wakamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata

MaJuda 144,000 vanomutswa Mereniyamu yakuda kunotanga. Naizvozvo ndivo zvibereko zvekutanga zverumuko rwenguva dzekupedzisira kweMereniyamu.

Kana tikatarira maJuda 144,000 vanobuda munguva yeKutambudzika, Dani naEfuremu vanenge vasipo.

(Josefa naRevi vanotora nzvimbo dzavo.)

ZVAKAZARURWA 7:4 Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.

5 Vorudzi rwaJuda vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubeni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;

6 Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;

7 Vorudzi rwaSimeoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;

8 Vorudzi rwaZaburoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri.

 

 

II MADZIMAMBO 10:29 Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDani.

Dani naEfuremu vakaita mhuru dzendarama dzekunamata zvifananidzo nemari (sekuwira kwakaita Judasi murudo rwemari.)

Ruvengo rwaMwari pamusoro pechakaipa rwunosvika pakuti haana kubvira avaregerera, chero mumashure memakore 2500.

Tiriniti ine vanhu vatatu , Mwari Baba, Mwari Mwanakomana, naMwari Mweya Mutsvene.

Asi hazvigoneke kuti tiwane zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu.

Saka Mwari wemaKristu akarasikirwa nezita rake.

Vanoenda kumakereke vanotaura nezvezita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene asi havagoni kutiudza kuti zita iroro nderekutii.

Rangarirai, Mwari anotsamwiswa nekukanganisa.

Tiriniti. Mwari Mwanakomana. Mwari Mweya Mutsvene. Mwari mumwechete muVanhu vatatu vari muhuMwari. Jesu ari muhuMwari. Kwese kutaura kusimo muMagwaro.

Murairo wechitatu waive wekuti tisadane zita raMwari pasina. Makereke akaita izvi.

Vakarasikirwa nezita raMwari zvekuti vanhu vakudana zita raMwari weTiriniti pasina.

AMOSI 6:10 ... ipapo uchati "nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJEHOVA."

Vanoenda kumakereke nhasi havagoni kutiudza zita raMwari.

Kutsiva kwaMwari nekutsamwa kwake kuchadururwa kune vose vanotevera Tiriniti munguva yeMereniyamu.

 

Ezekieri akaona munhu ane tsanga yekupima aipima Tembere yemuMereniyamu.

Tsanga yekuyeresa yaive mupimo wenhanho gumi neimwe (mamita 3.4)

EZEKIERI 40:5 Zvino tarira, kwakanga kuno rusvingo rwakapoteredza imba nechokunze; muruoko rwomurume uyo makanga munorutsanga rwokuyeresa narwo, rwakasvika makubiti matanhatu pakureba kwarwo, rimwe nerimwe richiitawo mita imwe nohupamhi hwechanza;

Kubiti rimwechete (mainjizi 18 + mita rimwechete hupamhi hwechanza mainjizi mana 4) = 22 injizi

Saka tsanga iyi yakapetwa katanhatu kemiyero iyi = 6 x 22 = 132 injizi = 11 fiti kana kuti mamita 3,4.

Guta reJerusarema, Muprista, nevaRevi vose vakapihwa nzvimbo dzakasarudzika pakati peNyika yeChipikirwa.

EZEKIERI 48:2 Pamuganho waDani, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waAsheri.

3 Pamug anho waAsheri, kubva kurutivi rwamavirazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waNafutari.

4 Pamuganho waNafutari, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waManase.

 

 

5 Pamuganho waManase, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waEfuremu.

6 Pamuganho waEfuremu, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, ndiwo mugove mumwe waRubheni.

7 Pamuganho waRubheni, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva ndiwo mugove mumwe waJuda.

8 Pamuganho waJuda, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva, chichava chipo chamunofanira kuvigira JEHOVA, tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pahupamhi,

[3.4 x 25 000 = 85 km]

nokureba kwakaenzana nomumwe wemigove, kubva kurutivi rwamabvazuva kusvikira kurutivi rwamavirazuva; nzvimbo tsvene inofanira kuva pakati payo.

 

 

9 Chipo chamunofanira kuvigira JEHOVA chinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, uye tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi.

[3.4 x 10 ooo = 34 km]

Nzvimbo tsvene kana kuti Tembere inoratidzwa nesikweya tsvuku.

EZEKIERI 45:2 Ipapo panofanira kuva nzvimbo tsvene yakaita tsanga dzina mazana mashanu pakureba uye tsanga dzina mazana mashanu pahupamhi mativi ose mana akaenzana; uye panofanira kuva noruwa rwakapoteredza kumativi ose runosvika makubiti makumi mashanu

Mamita anoda kukwana 1700 x mamita 1700)

EZEKIERI 48:10 Chipo icho chitsvene chinofanira kupiwa ava, ivo vapirisiti; kurutivi rwokumusoro tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba, nokurutivi rwamavirazuva tsanga dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwamabvazuva dzine zviuru zvine gumi pahupamhi, nokurutivi rwezasi dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu pakureba; nzvimbo tsvene yaJEHOVA inofanira kuva pakati payo.

EZEKIERI 48:11 Chichava chavapirisiti vakaitwa vatsvene pakati pavanakomana vaZadoki, vakachengeta zvandakavaraira, vasina kutsauka nenguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri, sezvakatsauka vaRevi.

Zadoki aive muprista mumazuva aDavidi.

Akagara akatendeka kuareka yesungano nekuna Davidi apo Absalomi, mwanakomana waDavidi, paakamukira baba vake Davidi.

Saka Zadoki achava nesimba semuprista muTembere Itsva nekuti akatendeka kuna Davidi.

Izvi zvakanaka kwazvo kuna Jesu paanotonga muMereniyamu seMwanakomana waDavidi.

Mwari anopa zvinzvimbo zvepamusoro soro kuvanhu vakatendeka kuShoko raMwari painyengerwa vamwe vese nembiri dzemakereke avo anovabvisa paMagwaro.

Mwenga achasarudzwa nekuda kwekuzviwisira kuBhaibheri nekuterera kwake zvinotaurwa neMagwaro.

Jesu akati:

JOHANE 14:15 Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.

 

Machinda kana vatongi havafaniri kudzvinyirira chero munhu.

Mumereniyamu zvinhu zvese zvinoitwa zvakanaka zvakaringana uye zvine chokwadi.

EZEKIERI 45:8 Nyika iyo inofanira kuva nhaka yake pakati paIsiraeri; machinda angu haangazomanikidzi vanhu vangu, asi achapa imba yaIsiraeri nyika vachienzanisa namarudzi avo.

9 Zvanzi naIshe JEHOVA, "Chiringaniswai nazvo, imi machinda aIsiraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, tongai zvakarurama nezvakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati pavanhu vangu, ndizvo zvinotaura Ishe JEHOVA.

10 "Munofanira kuva nezviyero zvakarurama, neefa yakarurama, nebhati rakarurama.

11 Efa nebhati zvinofanira kuva nechiyero chimwe, kuti bhati riite chegumi chimwe chehomeri, uye efa iite chegumi chimwe chehomeri; chiyero chazvo chinofanira kuyerwa nehomeri.

12 Shekeri rinofanira kuita magera makumi maviri; mana yenyu inofanira kuva mashekeri ana makumi maviri, namashekeri namakumi maviri namashanu, namashekeri ane gumi namashanu.

Hapafaniri kuitika kubirira kunyanya pamipimo kana miyero nemari.

Tikatarisa paguta reJerusarema muchagara Jesu neMwenga wake.

Kuchava nemasuwo gumi nemaviri akapoteredza guta.

 

EZEKIERI 48:31 masuo eguta anofanira kutumidzwa mazita amarudzi aIsiraeri; masuo matatu kurutivi rwokumusoro, anoti: Suo raRubeni, rimwe, suo raJuda, rimwe, uye suo raRevi, rimwe.

32 Kurutivi rwamabvazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu,

[3.4 x 4500 = 15.3 km]

namasuo matatu, anoti: Suo raJosefa, rimwe, suo raBhenjamini, rimwe, uye suo raDani, rimwe.

 

 

33 Kurutivi rwezasi, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu pakuyerwa kwazvo, namasuo matatu, anoti: Suo raSimeoni, rimwe, suo raIsakari, rimwe, uye suo raZebhuruni, rimwe.

34 Kurutivi rwamavirazuva, tsanga dzine zviuru zvina namazana mashanu, namasuo apo matatu, anoti: Suo raGadi, rimwe, suo raAsheri, rimwe, uye suo raNafutari, rimwe.

Marudzi gumi nemaviri ekutanga ndiwo ane masuwo muguta.

Guta nderesikweya rakaenzana mativi ose. Divi rimwe nerimwe rine makiromita 15.3

35 Zvose zvinofanira kuita tsanga dzine zviuru zvine gumi nezvisere pamativi ose mana; zita reguta kubva pazuva iro rinofanira kunzi, "JEHOVA aripano."

[3.4 x 18000 = 61.2 km] pane 15.3 + 15.3 + 15.3 +14.3 = 61.2 km

Efuremu naManase havapo pamasuwo aya.

Munzvimbo dzemarudzi muMereniyamu Josefa haana kutaurwa nekuti ane migove miviri yematangwe. Saka nzvimbo yake yaive yatorwa nevanakomana vake vaviri Efuremu naManase zvikapa Josefa nzvimbo mbiri dzenyika.

 

 

Asi nzvimbo dzemarudzi dzega ndidzo dzaisanganiswa mumigove miviri yaive yakafanira kuva nhaka yemwanakomana wedangwe.

Rubeni aive Mwanakomana waRiya wekutanga asi akarasikirwa nemugove wake nekuda kwehunhu hwakaipa.

Josefa aive mwanakomana wedangwe kuna Rakeri, akawana mugove wenhaka yemwanakomana wedangwe wekutanga.

DEUTERONOMIO 21:17 Asi anofanira kutenda mwanakomana wounovengwa, kuti ndiye wedangwe, amupe migove miviri yezvose zvaanazvo; nokuti ndiye wokutanga wesimba rake; ndiye anofanirwa noudangwe.

Zvisinei, guta riri munzvimbo dzeMuchinda dzeNyika yeChipikirwa, hadzina chekuita nemigove miviri yenhaka yemwanakomana wedangwe.

Nhaka yemwanakomana wedangwe haishandi apa.

Saka Mwari anopa suwo kune rimwe nerimwe remarudzi gumi nemaviri ekutanga evaIsraeri.

 

Zvino tinosvika pachinhu chinoshamisa kwazvo pamusoro peMereniyamu.

Zvipiriso zvezvivi panourayiwa mhuka.

Mwenga nemaJuda 144,000 vachange vari mumiviri yakamutswa kuvafi isingavori kana muti miviri yekubwinya.

Zvimwechete nevatsvene veTestamente Yekare vakamutswa mumashure mekumuka kwaJesu kubva kuvakafa vakatorwa kukwira Kudenga pakakwira Jesu Kudenga.

 

Kunoitawo mapoka maviri muMereniyamu vanenge vaine miviri yevanhu venyama chaivo.

VaHedeni vasina kubvira vanzwa Evangeri asi vakakunda kurarama muAmagedoni nemaJuda vakakunda kubuda munguva yeKutambudzika vasina kuurayiwa.

ZEKARIA 14:16 Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye JEHOVA wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.

Vamwe vanhu kubva mumarudzi ose akarwa nemaJuda vachapona paAmagedoni.

Asi vose vanenge vakufanira kutora kutenda kwemaJuda.

Mutambo wematumba waive mucherechedzo weMereniyamu.

Mutambo uyu waive nezuva rechisere. Mazuva manomwe aimiririra nguva nomwe dzemakereke dzakazara.

Zuva rechisere raive kuita kutsva kwaimiririra Mereniyamu.

64-0802 MUSHA UNOUYA WECHIKOMBA CHEDENGA NEMWENGA WAKE WEPANYIKA

Tarirai, zvaive pazuva rechisere iri. Zuva rekupedzisira, zuva remutambo wetabernakeri, tarirai mumashure maizvozvo, mumashure mezuva rekupedzisira remutambo, mumashure menguva yeKereke Yekupedzisira, mumashure memazuva akakwana manomwe panyika, Mereniyamu yadarika, kuti Rangano yake tsvene iuye.

Rangarirai, uyu mutambo wematumba, tabernakeri, “nzvimbo yekusangana.” Amen! Kupi, “muMereniyamu,” Bhaibheri rinoti, “Vachavaka dzimba; vachadzigara.”

Asi munyika itsva, akagara aenda kunogadzira nzvimbo. Yakavakwa. Hatina chekuita nekuvakwa kwayo.

Mereniyamu haifaniri kupesaniswa neNyika Itsva, nekuti hakuchazova nerufu munyika itsva.

Asi kuchava nerufu muMereniyamu nekuti vatadzi vanopona muAmagedoni vachavamo muMereniyamu.

Chero munhu akaberekwa kupfurikidza kusangana pabonde haagoni kurarama kwemakore 1000.

Metusera akararama makore 969 ndiye munhu akararamisa makore mazhinji.

Saka vatadzi vese vaive vapenyu pakutanga kweMereniyamu vanenge vafa Mereniyamu isati yapera.

ZEKARIA 14:17 Ani naani pamarudzi enyika asingakwiri Jerusaremu kundonamata Mambo, JEHOVA wehondo, haanganisirwi mvura.

VaHedeni vose vanenge vapunyuka Amagedhoni vanofanira kunamata Jesu. Vanofanira kuterera Mwari nekuita zvaanoda, kana kuti.

Zvido zvevanhu venyama nezvivi zvavo zvakasvitsa nyika pakuurayiwa kunotyisa kwazvo kwekuparadza kweAmagedhoni.

Vatadzi vanenge vapona ava havazopihwi mukana wechipiri wekuparadza nyika.

ZEKARIA 14:18 Kana rudzi rwavaEgipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa JEHOVA kwaacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.

Jesu achashandisa nzara nezvirwere kuranga marudzi asingamubatiri nenzira yavanenge vachiudzwa kuti vabate nayo.

Hakuzosekererwi zvivi nekusatenda.

Kurarama munyika dzine runyararo dzinotongwa nehunyanzvi muMereniyamu kunenge kusiri kodzero dzevanhu .

Kodzero dzevanhu dzakabereka Raodikia yakava nguva yekereke yakaipisisa inoramba Jesu ichimudzingira kunze kwekereke.

MuMereniyamu acharamba vese vasingamubatiri zvakanaka vasingamunamate.

Achatonga netsvimbo yedare (simbi). Rudo rusina kujaidzana kuita zvakaipa. Kuteverwa kwemirairo kwakakwana.

Mwenga achatonga saMambokadzi pasi rese.

Kuti tikunde pakadai tinenge tichifanira kumira zvakasimba nechokwadi cheMagwaro.

Shoko riri rega rinogona kutonga nyika yese.

Kana tikabviswa paMagwaro nevakuru vemakereke edu, hatizofaniri kutonga muMereniyamu munoteverwa mirairo zvakazara. Saka hatizovimo.

ZVAKAZARURWA 2:26 Unokunda achichengeta mabasa angu kusvikira pakupedzisira, ndichamupa simba pamusoro pamarudzi;

27 uchaafudza netsvimbo yedare, sehari dzomuvumbi dzinoputsanyiwa; sezvandakapiwa vo naBaba vangu

“Vanochengeta Shoko rangu” zvinoreva kuti kurarama neBhaibheri Shoko rakanyorwa, tisingateveri tsika dzevakuru vekereke nemafungiro avo.

“Kuputsanyiwa” kunotaura pamusoro pekurangwa kukuru uye kurohwa.

ZEKARIA 14:19 Uku ndiko kurohwa kwavaEgipiti nokurohwa kwendudzi dzose dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.

Kuchange kuine vaHedeni vakapunyuka kubva muEgipita nedzimwe nyika.

Nzara haizogaroonekwe muMereniyamu inenge iri chiratidzo chiri pachena chekuranga kwaMwari.

Zvirwere hazvizogaroonekwe zvinengewo zviri chiratidzo chekutsamwa kwaMwari.

Mereniyamu ichava nemamiriro ekunze akanaka nekuti nyika ichange yadzokera panzvimbo payo payaive pakutanga.

Kune chando chakawandisa zvakapetwa kagumi kuSouth Pole kudarika chiri kuNorth Pole. Kusaenzana kwekugovana kwechando uku kunoita kuti nyika itenderere inzvenga panzvimbo payo.

Hakuna anoziva kuti nei nyika ichirovera kumukombero kwayo zvinokonzeresa mwaka yedu yepagore.

Kurovera kuduku kunogona kuita kuti nyika itsvedze zvakanyanya kana zvishoma kudarika zvainofanira kuita. Parizvino, kutsvedza kwayo pakufamba kuri kuita sekuti kuderera kwoita kuti musiyano uve mushoma pakati penguva yechando nenguva yechirimo yekupisa. Izvi zvakaoma kunzwisisa pamamiriro edu ekunze.

GENESISI 8:22 Nguva yose yenyika ku­dzvara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvi­ngagumi."

Mumashure meMvura yaNoa, takanzwa pakatanga kutaurwa kwekupisa nechando, zvinokonzerwa nekutsvedza kwenyika ichitarisa kuzuva nguva yechirimo kana kuti painofuratira zuva nguva yechando.

Saka Mwari akapidigura nyika nguva yeMvura yaNoa.

Kuputika kwemabhomba eatomi kuchaswededza nyika pedyo nezuva nguva yeKutambudzika kukuru.

ZVAKAZARURWA 16:8 Zvino wechina akadurura ndiro yake pamusoro pezuva, rikapiwa simba kuti ripise vanhu nomoto.

Kupisa kwezuva kwakanyanya uku kuchanyungudutsa chando chese munzvimbo nyoro dzeSouth Pole, kwosimudza gungwa nemamita anosvika 70 zvoita kuti maguta ese ari mumahombekomwe anyure. (chando chinenge chiri kuNorth Pole hachikanganisi kusimuka kana kudzikira kwegungwa kana chikanyunguduka). Zvikamu gumi kubva muzana zvenzvimbo dzenyika zvichanyura pasi pegungwa. Asi mahombekombe ndiko kune maguta makuru mazhinji. Izvi zvichakanganisa magariro evanhu zvakanyanya.

Nguva yeKutambudzika ichatyisa zvakanyanya. Zvakaipisisa kudarika zvatinofungira.

Mwari anobva apidigura nyika yomira chando chisisipo.

Nyika ichava nemamiriro ekunze anodziya sezvo kunenge kusisina mwaka. Kutyisa kukuru kwekubvisa nguva yechando ndekwekuti chando chinochengeta zvipuka zvakaipisisa zvakaita sehutonga hunokonzera marariya netsetse zviri pakudziviririka.

Mwari chaanozongoita ndechekubvisa zvipuka izvi hupenyu muMereniyamu hwova nerunyararo.

Gorosi rinokura zviri nani nguva yechando. Asi zviri nyore kuti Mwari agadzirise chirimwa chegorosi kuti chirarame mune mamwe mamiriro ekunze.

Vanhu vasingatendi vanotarisa matambudziko epanyika pano seasingagadzirisiki. Asi ndiMwari weminana achagadza Mereniyamu. Anoshandura zvese zvaanoda kushandura.

Ipapo, sezvaakaita pakutanga, Mwari achasimudza chidzitiro chemvura pamusoro mumakore chaanohandura kuita haidhirojeni neokisijeni. Izvi zvinomedza mirazvo yezuva zvoiparadzira zvakafanira pasi rese. Saka pasi rese rinenge riri mumamiriro ekunze anodziya zvakanaka.

 

 

Magasi aya anochengetedzawo vanhu kubva kumirazvo yezuva inokuvadza inobatsira kuti tisachembere. Tarisai kuti maketeni anoiswa kwakatarisa kuzuva zvakanyanya anobvaruka zviri nyore sei.

Saka vaHedeni vanopona muAmagedoni vanenge vakukwanisa kurarama nguva yakati rebei.

ISAYA 65:20 Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana.

VaHedeni nevaJuda vanopinda muMereniyamu vachazofa uye vachabereka vana.

Mwana wemakore manomwe anenge ararama chikamu chimwe mugumi chemakore aanotarisirwa kurarama emakore 70.

Kana vanhu, sezvavaiita Mvura yaNoa isati yauya, vakararama makore anodarika 700 kana vava nemakore zana vanenge vasvitsa chikamu chimwe mugumi chehupenyu hwavakatarisirwa kurarama.

Saka tinodaidza kunhu anenge aine makore zana kuti mwana.

Asi kana, kana munhu ane makore zana ari mutadzi, vanenge vakura zvakakwana zvekugona kuzvidairira zvivi zvavo.

Izvi zvichava hupenyu hwevaHedeni kana mJuda achabuda muAmagedoni.

Asi Mwenga achava neHupenyu husingagumi mumiviri yavo yekubwinya.

 

Kunyura kweLos Angeles kuchava sekutamba asi kuri chenjedzo dzekuti zvinhu zvakutanga kushanduka.

1965 – 0429E KUSARUDZWA KWEMWENGA_ LOS ANGELES CALIFORNIA

Iyambiro iri pachena. Hatisivi nguva, uye hamuzivi nguva, yekuti guta rino rimwe zuva richamuka riri pasi pegungwa .

“Oh, Kapenaume,” Jesu akadaro, “Iwe wakazvisimudzira mudenga, uchawisirwa pasi mugehena. Nekuti, dai mabasa makuru aya akaitwa muSodoma neGomorra, ringadai rimire nhasi uno.” Uye Sodoma neGomorra zviri pasi peGungwa Rakafa (Dead Sea). Kapenaume riri pasi pegungwa [Garirea].

MATEO 11:23 Iwe Karpenaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako,

 

 

Iwe guta, [Los Angeles] unozviti uri guta revatumwa, wakazvisimudzira kumusoro kudenga, ukatumira tsvina yese, zvinhu zvakaipa zvemapfekero nezvinhu zvakadaro [zvakaita seHollywood], kusvika chero nyika dzekunze dzatanga kuuya kwauri kuzotorawo tsvina idzodzo dzichienda nadzo, kumakereke akanaka nemapato nezvimwe zvakadaro, nenzira yamunozviita nayo.

Rangarira, rimwe zuva uchava pasi pegungwa, mafaro ako nehuchi hwako zviri zvese newe. Kutsamwa kwaMwari kuri kudzvova kuri pasi pako. Achabata kutsamwa kwake kusvika rini kuri pamusoro pako? Kana, gungwa iro rikabuda rikawedzera kudzika nerimwe maira, uchatsvedzeramo, wowira makare mugungwa reSalton. Zvichaipa kudarika zuva rekupedzisira rePompeii. Tendeuka Los Angeles.

Kana kudengenyeka kwenyika kukuru kukanyudza Los Angeles kuchasimudza zviitiko zvikuru zvakawandisa zvatisinganzwisisi.

 

 

Hama Branham vari kutaura pamusoro peSan Andreas fault raini umo mapureti etekitoniki ari kufamba achinokonzeresa kumanikidzika kukuru. Mapureti aya anogona kukonzera kudengenyeka kweyika kukuru kwazvo nemhepo huru inoparadza zvinokwanisa kukonzera dambudziko guru pahupfumi hwenyika.

 

 

California inyika yakapfumisisa muAmerica.

Kana hupfumi hweCalifornia hukakanganiswa, hupfumi hweAmerica hunenge hwakanganiswawo. Kereke yeRoman Catholic chete ndiyo inozogona kuva nemari yekutora America.

Kereke yeRoma inotonga America.

60-1113 KUTONGWA NEMUMIRIRIRI

Zvino kana vakadzi ava akabatsira kusarudza munhu aasiye, ndinoona mukadzi mukuru kwazvo achisimuka muUnited States, akapfeka zvakanakisa iye ari munaku, asi aine hutsinye mumoyo make. Anogona kutungamirira ana kunangisa nyika ino kunoparadzwa. (ndapinda muhutungamiri “zvichida ikereke yeCatholic”.)

60-1125 MUSANGANO

Ndikati, “zvichaitika magumo asati asvika kuti kuchava nemukadzi mukuru kwazvo achasimuka muUnited States, nekuti United States yakatarwa kuva mukadzi. Chiverengo chake ndigumi nenhatu, uye achasimuka kuita angave mutungamiri wenyika, kana (ndozviisa muhutungamiri) zvichida nekuti mukadzi uyu munaku uye anoyevedza ikereke yeRoman Catholic ine hutsinye pamoyo, achatungamirira nyika kunosvibiswa.

Kereke yeCatholic yaive nevanhu vanosvika 1.4 biriyoni negore 2019. Saka ikereke inoyevedza kwazvo. Mukadzi mucherechedzo wekereke nekuti kereke yechokwadi ndiyo Mwenga waKristu.

Saka mukadzi anoyevedza kwazvo mucherechedzo wekereke inoyevedza.

1960- 1208 NGUVA YEKEREKE YETIYATIRA

Zvino, ndakati, “kuchava munguva iyoyo, mukati menguva ichatenderwa vakadzi kuita sarudzo, vachasarudza munhu asiriye.” vakazviita musarudzo dzakadarika. [John Kennedy akanaka chiso, muCatholic, akasarudzwa]. Ndizvo chaizvo. “Zvichatanga kubata kwakasimba. Nguva iyoyo zvichaitika kuti kuchava nemukadzi mukuru kwazvo achasimuka muUnited States, achange akashongedzwa zvakanaka,” ndinobva ndazviisa muhutungamiriri: “(Zvichida kereke yeCatholic).” Mazviona?Ichatora hutongi kuva nesimba, kukurira vamwe muUnited States. Achange akanaka paumutarisa, asi anenge ane moyo wehutsinye nepese paanogona napo.”

Ndakati, “Ndikatarira zvakare, ndikaona United States yaparadzwa. Hakuna chaive chasara pairi.”

Ani nani angava mutungamiri weAmerica, simba rehutsinye richaisa America muhuranda richava Kereke yeCatholic.

JEHOVA JIREH

America inyika yevakadzi. Ine mifananidzo yayo, chiverengo chayo gumi nenhatu, nyika gumi nenhatu, mitsetse gumi nemitatu, nyeredzi gumi nenhatu, gumi nenhatu sa ... zvese zviripo gumi nezvitatu, gumi nezvitatu uye mukadzi. Mazviona?

[Zvakazarurwa Chitsauko 13 inobata kusimuka kwechikara cheAmerica kutora simba. Europe yaive nevanhu vazhinji. Chirwere chemhezi chakauya nemaCatholic chakauraya vanhu vazhinji vaigara kuNorth America madzibaba evaPilgrim vaipikisa chiCatholic vasati vasvika]

Ndikaona mukadzi mukuru kwazvo achisimuka, akanaka chiso, asi aine moyo wakaipa uzere hutsinye. Ichava kereke. Ari munzira yake izvozvi.

[Mugore 1960 murume ainamata Catholic John Kennedy akasarudzwa kuva mutungamiri wenyika musarudzo].

Hama Branham vanoisa kukosha pakereke yeCatholic. Ndicho chikonzero chikuru nei mukadzi uyu achityisa.

NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA – BHUKU RWENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO.9

Muchiratidzo chechitanhatu muAmerica makasimuka mukadzi akanakisa, asi aine hutsinye kwazvo. Aive akaisa vanhu vese musimba rake rese. Ndinotenda kuti uku kwaive kusimuka kwekereke yeRoman Catholic, chero ndichiziva kuti chinogona kuva chiratidzo chemukadzi achisimuka kuva nesimba muAmerica nekuti asarudzwa pasarudzo.

Mukadzi anogona kuva Mutungamiri wenyika yeAmerica.

Vafundisi veMharidzo vakataura kuti Clinton achakurira sarudzo dzemutungamiri weAmerica mugore 2016 nekuti aive mukadzi. Nei vakarasika panyaya iyi? Nekuti Mwari akudzokera kuIsraeri anoda kuti Mutungamiri wenyika Trump aite Jerusarema guta guru reIsraeri.

Asi chinhu chinotyisa muchiratidzo ichi ikereke yeRoman Catholic sezvo iyo yega ichave nemari nesimba rezvematongerwo enyika rinodiwa kuti itonge America.

Chiratidzo chenguva kusimuka kweRoman Catholic ichiita simba munezvechitendero zvematongerwo enyika, nesimba munezvemari. Bhiza jena, bhiza dzvuku nebhiza dema anobatana kuita bhiza rakachenuruka rekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6. Mutasvi waro ndiye rufu.

Rufu runopindira kana Hupenyu, Mweya Mutsvene, wabuda apo Mwenga atorwa kukwira kudenga kunosangana naShe kumakore.

 

Zvakare, kuiswa kwezvipiriso zvemhuka kuchaitika munguva yeMereniyamu.

EZEKIERI 40:38 Pambiru pamasuo pakanga pane kamuri yaiva nomukova wayo; ndipo pavaisuka zvipiriso zvinopiswa.

39 Mubiravira resuo makanga muna matafura uku maviri nechemberi, namatafura maviri necheseri, pokubayira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro zvezvivi nezvibayiro zvemhosva.

Ndirwo ruvengo rwuna Mwari pamusoro pezvivi zvekuti kuchaita kudzoswa kwezvipiriso zvemhuka muMereniyamu. Jesu anenge asisipo paChigaro chenyasha neRopa Rake.

VaHedeni vanorarama kubva muAmagedoni vanenge vachipira zvipiriso zvinodeura ropa kuripira zvivi zvavo.

Izvi zvichange zvakaoma pakati perunako rukuru rwekugare nerunyararo zvenguva yeMereniyamu. Asi zvicharatidzira kuvenga kwakaitwa zvivi naMwari. Nemubairo werufu unoberekwa nezvivi.

EZEKIERI 40:40 Kurutivi rwokunze, kana munhu achikwira kundopinda pasuo kurutivi rwokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwebiravira resuo, kwakanga kuna matafura maviri.

41 Kwakanga kuna matafura mana kune rumwe rutivi, namatafura mana kurutivi rweseri, kurutivi rwesuo, matafura masere paibayirwa zvibayiro.

 

Kuuraya zvipiriso muyeuchidzo unorwadza wekuti zvivi zvinofanira kuripirwa.

EZEKIERI 42:13 Zvino akati kwandiri, "Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navapirisiti vari pedo naJEHOVA; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene.

Vaprista vachadya nyama yezvipiriso. Izvi zvakafanana nezvaiitika muTestamente Yekare.

EZEKIERI 43:18 Zvino akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe JEHOVA; Iyi ndiyo mitemo yearitari nezuva ravanoriita, kuzopisirapo zvibayiro zvinopiswa, nokusasirapo ropa.

Vasina kuponeswa muMereniyamu vane dambudziko rimwechete nezvivi raive nemaJuda eTestamente Yekare.

59-1220 E KUZIVIKANWA MUNA KRISTU.

MuTestamente Yekare kana munhu aida kuzivikanwa paimba yaMwari, aiuya nechinhu chaarurama chaaigona kuwana: gwayana. Aiziva kuti gwayana raive risina zvivi, ‘nekuti raisatadza. Akaenda, akanotora gwayana, akaisa ruvoko rwake pamusoro paro, akareurura zvivi zvake; nekutenda anosiya zvivi zvake zvese pagwayana, kururama kwegwayana kwouya paari. Gwayana raibva rafa nekuti raive mutadzi. Munhu orarama nekuda kwekutenda zvakataurwa naMwari. Asi akaitei ? Akabuda mutembere nerudo rumwechete rwaaive narwo achipinda, nekuti panoputswa sero reropa iroro (hupenyu hunotangira musero reropa rimwechete) ... kana sero reropa rikaparadzwa, hupenyu hwegwayana hausangani kana kudzoka muhupenyu hwemunhu, nekuti hwaive hupenyu hwemhuka. Munhu anenge abuda nezvido zvake zvenyama zvaaive agara anazvo; saka nekudaro, akaita zvivi achingoita sepakutanga achingodzokorora kuita izvozvo.

Saka vanofanira kuramba vachipira zvipiriso. Saka muMereniyamu mese vanenge vachingopira zvipiriso.

EZEKIERI 43:19 Unofanira kupa vapirisiti vaRevhi vorudzi rwaZadhoki, vanoswedera kwandiri kuzondishumira, nzombe duku chive chipiriso chezvivi,' ndizvo zvinotaura Jehovha.

ChiPrista chenguva yeMereniyamu chichava vana vaZadoki muprista akaramba akatendeka kuna mambo Davidi apo mwanakomana wake Absaromi paakamukira Davidi.

Davidi samambo mukuru aive mucherechedzo waKristu.

Akazodzwa saMambo asi aifanira kumirira kuti muvengi wake Sauro afe iye asati ava mambo.

Jesu akazodzwa kuva Mambo pamahombekombe erwizi Jorodani mumashure mekunge Johane Mubapatidzi amubapatidza. Asi aifanira kumirira kusvikira chikara chaparadzwa paAmagedoni asati atora chigaro kuti ave Mambo muMereniyamu.

Nekuita Zadoki nevana vake maPrista mauru muTembere yeMereniyamu, Jesu ari kuratidza kuti kuterera ndicho chinhu chaanokoshesa zvakanyanya.

Hatisi kuzova muMereniyamu kunze kwekunge taterera Shoko raMwari.

Tinofanira kukoshesa Shoko Bhaibheri rakanyorwa muzvitendero zvedu kudarika zvimwe zvinhu zvese.

 

EZEKIERI 43:25 Uite mazuva mana uchigadzira nhongo zuva rimwe nerimwe chive chibayiro chezvivi; vanofanirawo kugadzira nzombe duku nehondohwe rinotorwa kumakwai zvisina mhosva.

Zvipiriso zvichaitwa pano neapo muTembere yeMereniyamu.

Jesu anenge asisiri pachigaro chenyasha, saka vatadzi havagoni kuzvarwa patsva sezvatakagona kuita munguva dzemakereke.

59-1220 KUZIVIKANWA MUNA KRISTU

Kana ukaisa ruvoko rwako pamusoro Pake [Pamusoro waJesu] nekutenda ukareurura zvivi zvako, ukati, “Ishe, ndiregererei ndakatadza.” Chii chinoitika? Mwari vanobvisa kutadza kwako kwese vokutora votora kururama kwavo vokuisa pauri, moruramisiriwa pamberi paMwari, nekuti munotenda mumaJesu Kristu Mwanakomana wake. Zano reruponeso rakanaka. Mogovana mukubwinya kwake. Kunaka kwaMwari kunopinda mumoyo menyu. Simba rerumuko rwake rinokuitai munhu mutsva. Zvinokwanisira zvido zvese.

EZEKIERI 44:15 "Asi vaprisiti vaRevi, ivo vanakomana vaZadhoki, vaichengeta basa renzvimbo yangu tsvene panguva yokutsauka kwavana vaIsiraeri vachibva kwandiri, ndivo vachaswedera kwandiri kuzondishumira; ivo vachamira pamberi pangu kuzondibayira mafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe JEHOVA;

Rudzi rwaZadoki rwunokoshesa kubatira Ishe Jesu Kristu mukururama ari Mambo wavo.

EZEKIERI 44:24 Kana panegakava vanofanira kuva vatongi; vanofanira kutonga nemitemo yengu; vachafanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yangu yose yakatarwa; maSabata angu ngaave matsvene kwavari.

Vaprista vachatunga vachishandisa murairo waMwari.

Kuchaita nyaya dzakawanda nekusawirirana kwakawanda pakati pevaHedeni vanopona munguva yeAmagedoni sezvo vanenge vasina kuponeswa. Asi vachafanira kuterera murairo waMwari.

Sabata remusi weMugovera richadzorerwa kuvaHedeni vasina kuponeswa.

EZEKIERI 44:25 "Ngavarege kupinda kune zvitunha, kuti varege kuzvisvibisa; asi vangazvisvibisa nokuda kwababa, kana mai, kana mwanakomana, kana mwanasikana, kana mukoma nomunun’una, kana hanzvadzi yakanga ichigere kuwanikwa.

VaHedeni vakatenderwa kupinda muMereniyamu vachafa sezvo pasina kana mumwechete wavo achararama kwechiuru chemakore.

EZEKIERI 44:31 Vapirisiti ngavarege kudya chinhu chipi nechipi chakangofa choga, kana chakabvamburanyiwa, kana iri shiri kana chipfuwo."

Mhuka dzichafawo.

EZEKIERI 46:17 Asi kana akapa mumwe wavaranda vake chipo chinobva panhaka yake, chichava chake kusvikira pagore rokusunungurwa; ipapo chinofanira kudzokera kumuchinda; asi kana iri nhaka yake ichava yavanakomana vake.

Kuchaita gore rekunatsirwa apo zvikwereti zvese zvichakanganwirwa.

Pakati pevaHedeni ava, vacharoorana voita vana. Munhu anokwanisa kupa nhaka yake kuvana vake.

Asi mitemo iyi haina chekuita neMwenga waShe achange ari mumuviri wekubwinya usingawori.

EZEKIERI 46:20 Akati kwandiri, "Iyi ndiyo nzvimbo panofanira kubika vapirisiti chipiriso chemhosva nechipiriso chezvivi, uye pavanofanira kubika chipiriso choupfu; kuti varege kubuda nazvo kuruvanze rwokunze, kuzonatsa vanhu nazvo."

Kunamata muTembere kuchange kwakafanana nekunamata kwaiitwa muTestamente Yekare, asi hapana kutaurwa nezveareka yesungano. Hakuna chigadziko chemwenje minomwe kana zvingwa zvekuratidzira.

Areka yesungano mucherechedzo waMwari. Asi Jesu ndiye Mwari uye achava muTembere itsva iyi.

Zvigadziko zvemwenje zvaimiririra nguva nomwe dzekereke dzinenge dzapera.

Zvingwa gumi nezviviri zvaimiririra maJuda 144,000 vanobuda kubva munguva yeKutambudzika. Zvinenge zvadarikawo.

 

Kunobva kwauya chinhu chinodakadza.

Rwizi runoyerera ruchienda kumabvazuva ruchibva kuTembere kana Gomo reMiorivhi ratsemurwa nepakati. Rwizi runodzika kana rwakuda kunosvika kuGungwa rakafa (Dead Sea).

 

 

EZEKIERI 47:2 Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi.

3 Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo.

Rwizi mucherechedzo weShoko rakadzorerwa.

Nhanho yekutanga yekutenda inosanganisa kuponeswa.

Muti unomiririra mufananidzo wemweya wemunhu anorarama.

Munhu akaponeswa ane hupenyu hutsva asi nemapazi mazhinji akafa.

 

 

Chekutanga, kuponeswa nekutenda sezvakadzidziswa naMartin Luther munguva yekereke yechishanu.

Mvura dzisina kudzika dzinoreva kuti zviri nyore kunzwisisa.

Mumwe nemumwe wedu anoda muponesi uye hatigoni kuzviponesa. Izvi zviri nyore kunzwisisa.

Jesu anotipa ruponeso rwemahara rwatisingagoni kuwana nemabasa. Izvi zviri nyorewo kunzwisisa.

Kana maponeswa kubva kuGehena nekutendeuka uye kugamuchira Jesu saMuponesi, tinenge takufanira kufambira mberi dzidziso dzodzamiswa uye dzinenge dzakufanira kufungwa nezvadzo zvakanaka.

Munhu mutsvene ane mashizha mayoro akawanda nemapazi akafa mashoma.

 

 

EZEKIERI 47:4 Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno.

John Wesley akatidzidzisa nezvehutsvene munguva yekereke yechitanhatu.

 

 

Muchiuno munobva hupenyu. VePentekositi vakazivisa hupenyu hutsva muMweya nerubapatidzo rweMweya Mutsvene.

Zvibereko zveMweya zvakuonekwa mumuti.

Mapazi akafa anenge asara ndiko kusaziva kune vePentekositi pamusoro pezvakavanzika zveMagwaro.

EZEKIERI 47:5 Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa.

 

 

Dzidziso dzakadzamiswa. Munhu haachagoni kuzvimirira netsoka dzake. Haachagoni kuvimba nezivo yake.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Mweya mutsvene chete ndiwo unogona kuzivisa zvakavanzika zveMagwaro kwatiri.

Pakati pegore 1947 negore 1965 hama Branham vakazivisa zvakavanzika zveMagwaro kuti tinzwisise zvakadzama zveBhaibheri uyezve kuona nzira dzakadzama dzinofamba nemuBhaibheri.

Zvino kekutanga, makereke akadzoserwa kuBhaibheri kunotenda zvakatendwa nguva yekereke yekutanga.

Bhaibheri reKing James Vhezheni ndiro mukuru wedu.

Kubva muna 1965 takararama mumazuva enzwi rake rakatapwa. Tinofanira kutora zvaakataura tozvidzosera kuBhaibheri kuitira kuti titsigire kutenda kwedu neBhaibheri.

ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.

 

 

Mbesa dzinokohwewa munguva yechinomwe dzinofanira kufanana nembesa dzakadyarwa munguva yekereke yekutanga.

 

 

Tinokwanisa zvino kuwana hudzamu chaihwo mumavhesi eBhaibheri anorambwa nemakereke nekuti havagoni kumanzwisisa.

EZEKIERI 47:6 Akati kwandiri, "Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here?" Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi.

Saka Mwenga wenguva yekupedzisira anofanira kudzorerwa kukereke yeTestamente Itsva.

EZEKIERI 47:7 Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo uno nemhiri.

Muti mumahombekombe erwizi mucherechedzo wemunhu akarurama.

MAPISAREMA 1:3 Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.

EZEKIERI 47:8 Zvino akati kwandiri, "Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe.

Rwizi urwu runotsanangura zvizere pamusoro pekereke yakadzorerwa nemaJuda 144,000 vakasangana nechokwadi.

Asi serwizi rwunoyerera panyika, rwuchaererawo kunopinda mugungwa rakafa (Dead Sea) rwounza Hupenyu kumvura dzinovava.

EZEKIERI 47:9 Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.

Gungwa rakafa (Dead Sea) rinozara hove.

EZEKIERI 47:10 "Vateyi vehove vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo.

 

 

EZEKIERI 47:11 Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu.

Asi umwe munyu unosaririra sekupupura kuti chokwadi nzvimbo iyi yaimbove yakafa isina hupenyu.

Ndiwo musoro wenyaya muMereniyamu.

Makomborero makuru asi achiramba achiyeuchidza kuti rudzi rwevanhu rwakakanganisa kwazvo nekuda kwezvivi. Vanorangwa zvakaomarara munguva yeKutambudzika. VaHedeni vakaita rombo rakanaka kupona muAmagedoni vanenge vapihwa mukana mutsva. Asi kana vakasaterera, murango wavanowana mukuru.

EZEKIEL 47:12 Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi' zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa."

Michero mizhinji yemiti ndiyo ichava chekudya chevaHedeni.

Mashizha emiti achava nehukoshwa hwemishonga kwavari. Saka hurwere huchava dambudziko kuvaHedeni kwete kuMwenga nekuti anenge ava mumuviri wekubwinya.

Hova yemvura inoyerera kumabvazuva kweTembere.

JOERE 3:18 Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJuda dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime, richadiridza mupata weShitimi.

ZEKARIA 14:6 Zvino nezuva iro chiedza chichashaikwa, zvinopenya zvichadzimwa.

Pamagumo enguva yekereke yechinomwe, kuchave nemusanganiswa chaiwo wechikwadi nemanyepo. Makereke achagona zvimwe zvinhu asi votenda mune dzimwe nhema pane zvimwe zvinhu.

ZEKARIA 14:7 Asi richava zuva rimwe rinozikanwa naJehovha, hapangavi namasikati kana husiku, asi nenguva yamadekwana chiedza chichavapo.

Hama Branham vachatsigira zaruriro dzavo nekudzitevera muMagwaro. Chiedza ichi chichabatsira Mwenga wenguva yekupedzisira achaedza kutsigira zvaanotenda mekutevera zvavakataura neMagwaro. Kereke yese ichatenda zvimwe zviri muMagwaro nezvimwe zvingori mazano nepfungwa dzevanhu.

ZEKARIA 14:8 Zvino nezuva iro mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusarema; imwe hafu yayo ichayerera kugungwa rokumabvazuva, imwe hafu yayo kugungwa rokumavirazuva; zvichaitwa pazhizha napachando.

 

 

Kumunhu akatarisa kumabvazuva nemurwizi urwu, gungwa rekutanga rinenge riri gungwa rakafa (Dead Sea) rinenge riri pamberi pake. Uyu mucherechedzo weMwenga anodzoka kuzvitendero zvakatendwa nevatendi venguva yekereke yekutanga. Makereke vanotora zvakawanda zvemuBhaibheri vachiti zvakatadza kuturikirwa, uye kuti zvinorwisana, uye pane zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James seMukuru wavo. Saka vanouraya kutenda kwevanhu muzvikamu zvizhinji zveMagwaro. Mavhesi eBhaibheri avasingagoni kutsanangura anosiiwa achinzi haana kukosha kana kuti zvakangonyorwawo hazvo. Vanoti zvikamu zvizhinji zveBhaibheri hazvidiwi kuti zvizivikanwe zvichireva kuti “zvakafa” pachinzvimbo chekuti zvikoshere hupenyu husingagumi.

“Tinofanira here kuziva maVhesi iwayo?” ndizvo zvinotaura vasikana mapenzi vachitonzvenga nyaya zvakachenjera.

“Tinotofanira kuziva!” ndiko upindura kweMwenga anoda kutsvaga zaruriro dzemaprofita muBhaibheri kuti anzwisise zvakadzama zvazvinoreva.

Chiedza chezaruriro dzenguva yekupedzisira nehuvepo hwechokwadi paIntaneti, zvisinei neruzha rwese rwekukanganisa kwemakereke, zvinoreva kuti Mwenga anogona kukura muchokwadi sembeu iri kukura muzhizha. Tine makore mazhinji ari nyore ekudzidza chokwadi.

Zvino kuuya kwechipiri kwaJesu kunobva kwaitika (kunowanzodaidzwa kuti Repucha).

Mumufananidzo unotevera, Jerusarema inoratidzwa murekitengo tsvuku.

Rwizi runoyerera kumabvazuva ruchipinda mugungwa rakafa (Dead Sea) kuti rwuripe hupenyu. Dzidziso dzemapostora dzinomutsa kugona kwedu kunzwisisa Bhaibheri kuti tivimbe Bhaibheri sechokwadi chakazara. Kuda kwedu kutsigira dzidziso tichishandisa Magwaro.

Gungwa rakafa richararama kana hova dzikavambwa murenje. Rwizi rutsva urwu runobatanidza Gungwa rakafa (Dead Sea) neGungwa Dzvuku kumusoro.

ISAYA 35:6 Ipapo anokamhina achakwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwuchaimba nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.

 

 

Rumwe rwizi runoyerera kugungwa rekumashure gungwa reHinda, reMediterranean. Mucherechedzo wemaJuda achiwana chokwadi munguva yeKutambudzika apo nguva dzinenge dzakaoma. Zvinoratidzirwa mekuipa kwenguva yechando.

Hinda zvinoreva kuti kuita budiriro nemusiyano. Hinda zvinogonawo kureva kuti kumashure. Kutarisa kumabudazuva, Gungwa reMediterranean rinenge riri kumashure kwemunhu.

Kune vanoenda kumakereke vanoramba kutsigira kutenda kwavo neMagwaro vachitenda mumazwi akabatwa panotaura vanhu, vachasangana nekutyisa nemarwadzo asina kutarisirwa enguva yeKutambudzika. Vakatarirwa kuparadzwa uye nguva yeKutambudzika ichave nguva yechando yekusagutsikana kwavo.

Asi mukufamba kwakaoma uku kwenguva yeKutambudzika, maJuda 144,000 achasangana naMessiasi wavo.

ZEKARIA 14:9 JEHOVA achava Mambo wenyika yose; nezuva iro JEHOVA achava mumwechete, nezita rake rimwechete.

Chokwadi chaicho chekuti Jesu Kristu ndiShe Wamasimbaose chichaziviswa kune vanoenda kumakereke munguva yeKutambudzika.

Tarirai zvakaparidzwa nemuprofita Mosesi munguva yeKutambudzika.

ZVAKAZARURWA 15:3 Vakaimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwaiana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi, Imwi Ishe wavatsvene.

4 Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achavuya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.

Gwaiana rega ndito rakarurama. Saka Gwaiana rega ndiro rinogona kuva Ishe Wamasimbaose. Hakuna nzvimbo yeTiriniti yeVanhu vatatu.

 

Mvura dzinovava dzichaponeswa apo rwizi rutsva urwu runoyererera kumabudazuva ruchibva paTembere, ruchipinda muGungwa rakafa kunokurira mvura dzinovava. Parizvino, mvura dzeGungwa rakafa dzinovava zvakapetwa katanhatu kudarika mvura dzemamwe makungwa. Saka hadzigoni kuchengeta hupenyu madziri nekuda kwekuvava kwadzo kwakanyanya. Asi Gungwa rakafa rinoshandurwa kuita “Gungwa rinorarama” remvura mhenyu dzinoita rwizi rutsva runobva kuzasi kugungwa rakafa dzichipinga muGungwa Dzvuku.

Gungwa rakafa (Dead Sea) rakafa nekuti mvura dzinoyerera dzichipinda asi dzisingabudi. Asi muMereniyamu mvura dzichayererawo dzichibuda kuti dzipe gungwa iri hupenyu.

Zvakashata kana vanhu vachingogamuchira, tinofanirawo kudzidzira kupa.

MABASA 20:35 Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasinesimba, nokurangarira mashoko aShe Jesu, sezvaakataura amene achiti: Kupa kunamaropafadzo kupfuvura kugamuchira.

GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo JEHOVA akaita sungano naAbhu­ramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.

Nyika yeChipikirwa yaifanira kuenderera mberi kunosvika kurwizi rweEufraitesi.

MuMereniyamu, zvivimbiso zvaMwari zvichazadziswa.

Satani anogona kudzosera shure hurongwa hwaMwari asi haagoni kuhudzivisa.

EZEKIERI 47:21 "Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi alsiraeri.

EZEKIERI 47:22 Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi alsiraeri. Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi alsiraeri.

VaHedeni vasina kuponeswa nemaJuda asina kuponeswa vanopona paAmagedoni vachaita vana vavanobereka muMereniyamu.

EZEKIERI 47:23 Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Vatorwa vachagonawo kuwana nzvimbo dzekugara pakati pemaJuda muMereniyamu.

Ichava nguva yakanakisa yerunyararo, kupanana nerugare nekuti Jesu ndiye anenge achitonga.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23