Mereniyamu Chikamu 3 – Tichadamuviri wakadii kuti tigareko?



First published on the 8th of August 2021 — Last updated on the 8th of August 2021

56-0527 PAKADHESHI BARNEA

Vaida kuziva kuti vaizoziva hama dzavo here kana vasangana nadzo mukubwinya. “Nei” ndakadaro, “Tichavaziva”. Mazviona. Tine miviri mitatu yatinorarama mairi: wekutanga ndeuyu wenyama; wechipiri muviri wemweya, neumwe wekubwinya. Kana tichizivana panyama, muviri unoparara, tichazivana zvakadii mumuviri wekubwinya?

Zvinoita sekuti murairo uchabereka chinhu chakanaka, chinhu chakanaka zvakadii chingaberekwe nenyasha, nekuti dzakakura kudarika murairo. Uye kana mwedzi uchiwanisa kutipa chikamu chechiedza, zuva ringatiitira zvakadii kana rauya. Saka tichanyatsozivana.

 

Tiri kurarama nhasi mumuviri wenyama. Kana tikagamuchira Kristu saIshe naMuponesi wedu totambira Bhaibheri reKing James semukuru wedu ipapo muviri wemweya, muviri unoyera, unotanga kuumbwa kunzvimbo dzekumatenga.

Hama Branham vaishandisa kutaura kwekuti “theofeni” “zvemweya”.

Pakutanga, kuti aonekwe nevatumwa Mwari akasika muviri wemweya (kana kuti Theophany) kuti ararame mauri waidaidzwawo kuti rogosi (Shoko).

Muviri wemweya uyu waigona kutora mifananidzo mizhinji waigona kuratidzika seGore kana seShongwe dzomoto.

EKSODO 14:24 Mangwanani JEHOVA akatarira hondo yavaIjipiti, ari mushongwe yomoto neyegore, akavhundusa hondo yavaEgipiti.

 

 

Nekuti Mwari asingaonekwe aive muShongwe yeGore neShongwe yomoto, Mwari aitarira neMumiviri yeMweya iyi kuti aone vaEgipita.

Muviri weMweya uyu waikwanisa kuonekwa seMutumwa waShe.

 

 

Mwari akatora mufananidzo weMutumwa Mukuru akadaidzwa kuti Mutumwa waShe. Mwari asingaonekwe anomiririrwa nemufananidzo mutsvuku. Mucherechedzo weMutumwa ungori muviri wekunze unoita kuti Mwari aonekwe.

Mutumwa Mukuru wesungano mumwechete muMagwaro ndiMikaere.

JUDASI 1:9 Asi Mikaere, Mutumwa mukuru;

55-0109 KUTANGA NEKUGUMISWA KWEKUGOVERWA KWEVAHEDENI

“Panguva iyoyo Mikaere achamira, Muchinda Mukuru”. Mikaere aive Kristu, pachokwadi.

VATONGI 13:21 Asi mutumwa waJEHOVA haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJEHOVA.

22 Zvino Manoa akati kumukadzi wake, "Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari."

 

Muviri weMweya uyu waikwanisa kuonekwa seMunhu.

Mwari aive nehunhu hwedu vanhu mundangariro dzake kana muMweya wake kubva mavambo asatiavapo.

 

 

GENESISI 32:24 Asi Jakobo akasara ari oga; mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka.

30 Zvino Jakobo akatumidza nzvi­mbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, "Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa."

57-0602 HUPENYU

Ipapo kubva pahuvepo hwaBaba kwakaenda Rogosi (Shoko) raive Mwanakomana, aive Mweya, aive Muviri waJehova Mwari wakaenda uri muMuviri wekubwinya. Ndiro Rogosi (Shoko). Shoko rinotaura kubva muMatsime makuru eHupenyu richiparidzwa. Ndipo paive nemuviri wemweya, waive Mwari akaitwa Shoko.

Muviri wemweya wakaitwa nyama muMunhu Jesu Kristu. Uye kana tikafa kubva muhupenyu huno, tinopinda mumuviri ...

Kana Tabernakeri yepasi pano ikaparadzwa, tinowana muchamweya mekupinda, muviri wokubwinya.

 

Theophany waive Muviri weMweya waigara Mwari. Baba vaive Mwari asingaonekwe neMuviri weMweya waigara Mwari wakadaidzwa kuti Mwanakomana nekuti Muviri uyu wakaita kuti Mwari aonekwe.

Dambudziko raMwari muTestamente Yekare raive rekuti haana kuwana munhu mumwechete waakagona kugara maari zvakazara.

Nekuti kuti Mwari agare mumunhu zvakazara, uye kuti adaidzwe kuti Mwari Baba, zvichireva kuti Mweya waMwari unofanira kutonga munhu iyeye zvakazara. Munhu iyeye aifanira kuva achizviwisira kuzvido zveMweya unenge ugere maari 100%.

Izvi hazvina kubvira zvaitika kusvikira Jesu azvarwa.

Mateo, Marko, naRuka vaitsanangura Hupenyu hwaJesu zvakazova chokwadi kuti hunhu hwake hukuru hwaive hwekuterera zvakazara Baba vaigara maari.

MATEO 26:39 Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.

MARKO 1:25 Mangwanani Mangwanani kuchinerima, wakamuka akabuda akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo.

RUKA 4:8 Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.

Saka Mwari haana kubvira adaidzwa kuti “Mwari Baba” muTestamente Yekare.

Asi muna Jesu, Mwari vakazowana “Mwanakomana waMwari” waakagona kugara maari akatonga hupenyu hwake zvakazara.

Saka Johane akazotizivisa kuna “Mwari Baba” vairarama “muMwanakomana waMwari” Munhu Jesu.

Jesu haana kubvira adaidzwa kuti “Mwari Mwanakomana”. Mwari ndiMweya, Mwari havasi nyama nemapfupa.

JOHANE 6:27 Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuvupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Mwari Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.

Apa ndipo pakatanga kutaurwa nezvaMwari Baba muBhaibheri.

Munhu Jesu ndiye aive muviri waMwari wenyama.

Mwari baba ndiye aive Mweya unoshamisa waigara maari.

 

 

Muna Jesu, Mwari akakwanisa kuzadzisa kukudza hunhu hwake panyama.

Jesu akamuka kubva kuvakafa mumuviri wekubwinya waitogona kudya sesu tese asi waigona kufamba kupinda mumba makavharwa mukova, zvatisingagoni kuita.

Muviri wekubwinya uyu waive chikamu chehupenyu hwedu hwenzvimbo nhatu uriwo zvakare chikamu chehupenyu hwenzvimbo dzemweya dzepamusoro soro.

Muviri wekubwinya hausi chikamu chehupenyu hwedu hwenyika yenzvimbo nhatu. Unorarama chete munzvimbo dzepamusoro dzemweya.

Saka Jesu, Chipiriso chedu chezvivi, agere pachigaro chenyasha Kudenga anogona kuratidzira chikamu cheMweya wake Mutsvene mumoyo yedu yenyama yakatendeuka.

 

 

Chikamu cheMweya Mutsvene chinopinda mumoyo yedu kutipa kuzvarwa patsva mumweya.

Mweya Mutsvene unoda kutitonga asi unogona chete kuita izvi kana tikabvuma kufa kuzvido zvedu kuti hunhu hwedu hwevanhu hwekare (mweya wedu sevanhu panyama) hunofa.

 

 

Patinorarama nekuvaka kutenda kwedu muShoko raMwari, panokura Mweya Mutsvene matiri, muviri wedu wemweya unenge uchikurawo kunzvimbo dzedenga. Muviri wemweya uyu kana muviri wekubwinya unotanga uri mwana kukura kunoita kutenda kwedu, ndikowo kukura kwemuviri wedu wemweya. “Sekuona” kwatinoita kana kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro meso emiviri yedu yemweya anokurawo. Patinonzwa nekuterera Shoko raMwai nzeve dzemuviri wemweya uyu dzinokurawo. Patinoshandira Mwari maoko anokurawo. Patinotevera Jesu makumbo anokurawo. Patinoda Bhaibheri, moyo wemuviri wemweya uyu unokurawo.

Muviri wemweya uyu unogona kudaidzwa kuti theofeni kana kuti Mwari achiratidzwa mumuviri kana mucherechedzo wakaita seshongwe yomoto.

 

 

Miviri yedu nehunhu hwedu hwekare zvakatarirwa kufa. Asi chikamu cheMweya Mutsvene chiri matiri Hupenyu.

VAROMA 8:10 Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama.

I SAMUERI 25:29 mweya washe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu vari kuna Jehovha Mwari wenyu,

Mweya wemunhu akatendeuka akadzikinurwa wakaputirwa muMweya Mutsvene.

Kana tikafa chikamu cheMweya Mutsvene watakatambira muhupenyu hwedu patakatendeuka tikagamuchira Jesu saIshe naMuponesi wedu, unobuda kubva mumuviri uno wopinda mumuviri wekubwinya waikura paikura kutenda kwedu.

Mumuviri iwoyo tinofamba sendangariro munzvimbo dzemweya dzepamusoro soro.

 

 

Muviri nemunhu wekare zvinosara zvoparara. Munhu mutsva, akaitwa neMweya Mutsvene, anopinda mumuviri wekubwinya.

Saka hunhu hwedu hwepanyama hwakadarika hunosara hwodzimwa neRopa raJesu.

Ngatitarisei munhu akazvarwa panyama:

 

 

Patinozvarwa tinenge tiine hunhu kana mweya wakaipa uzere zvivi (unoratidzwa muruvara rwegirini). Mune nzvimbo muhupenyu hwedu, isina chinhu, inokwanisa chete kuzadzwa nemweya waMwari unoshamisa. Saka Mweya unopatsanurwa kubva kuna Mwari.

 

 

Patinotendeuka togamuchira Jesu saIshe naMuponesi wedu, Mwari anoisa chikamu cheMweya wake Mutsvene matiri (zvinoratidzwa neruvara rutsvuku). Izvi zvinozadzisa nzvimbo isina chinhu muhupenyu hwedu. Izvi zvinoita kuti mweya wedu wekare uoneke wakaipa apo Mweya Mutsvene unokoshesa hutsvene, kwete hupenyu hwenyika ino. Mweya wedu wehunhu hwakare unotanga kudzoka woshaya chekuita nehupenyu hwedu.

Tinobva tasvika pachinhu chinopesana nevanhu vazhinji. Hunhu hwaMwari hwaikura paikura Jesu kubva paMwana kuita Munhu.

Saka Mweya Mutsvene une hunhu hwemunhu zvese nehwemweya unoshamisa.

 

 

Saka Mweya Mutsvene unopinda mumoyo yenyu kuti ukuitei vanyoro vanodiwa naMwari kuti muve. Nekudaro munova vanhu vatsva. Mwari havadi hunhu hwenyu hwakare. Hunhu hweMweya wake hunoda kuti muitwe vanhu vatsva, zvaigarodiwa naMwari kuti muve.

Mwari anopa munhu mutsva uyu zita idzva rakanyorwa muBhuku reHupenyu. Hakuna munhu, parizvino, anoziva zita idzva iroro. Saka zvatinokanganisa zvese hazvigoni kunyorwa naSatani paZita redu idzva sezvo Satani asingazivi zita redu idzva.

Iwe woga ndiwe uchaziva zita rako idzva remuviri wako wekubwinya. (hatisati tane ruzivo rwakakwana zvaizvozvi. Zvichida, vanhu vaizofarisa vozivisa mazita avo matsva Satani oziva mazita avo matsva okwanisa kunyora zvivi zvavo pamazita avo matsva.)

ZVAKAZARURWA 2:17 Unenzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichamupa mana yakavanzika, vuye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzwa rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye unoripiwa.

Asi basa raSatanikwa tiri rinogonesa Mweya Mutsvene kutitsiura kuti titendeuke, Ropa raJesu robvisa kupomerwa kwese patiri. Saka mazita edu matsva anenge akanatswa sezvo pasina zvivi zvakanyorwa paari.

Mweya wakachena wekunamata uyu unotora mweya yedu yakadzikinurwa kunoiisa mumiviri yedu yekubwinya kana tafa. Mweya yedu yakare izere zvivi inosara sezvo ichidururwa muguruva.

Saka hakuna zvitadzo zvakanyorwa pavanhu vari mumiviri yavo yekubwinya. Vakaruramisirwa zvakazara.

 

57-0602 HUPENYU

Zvino pakuuya kwaShe Jesu, muviri uno unotorwa kubva panyika woiswa mukubwinya kuti ugone kurarama muhuvepo hwake nekusingagumi.

 

Rogosi (Logos) Shoko rakangofanana neTheofeni unova muviri wemweya unorarama munzvimbo dzekumusoro kudenga.

Parumuko, vakafa muna Kristu vanodzoka panyika mumiviri yavo yemweya vopinda mumuviri wekubwinya yakaitwa neguruva.

65- 1128 M NZVIMBO YAMWARI IMWECHETE YATAKAPIHWA YEKUNAMATIRA

Kune muviri mumwechete ikoko, muviri iwoyo unova muviri wemweya, nemuviri wekubwinya murumuko. Mazviona, izvozvo zvinozadzisa zvese. Mazviona? Saka haisi ngano, haisi ndangariro, hausi mweya. Munhurume nemunhukadzi vakaita sewe, zvakangofanana.

57-0828 VAHEBERU CHITSAUKO CHEHCIPIRI. 3

Asi, musiyano uri pakati pemhuka nemunhu, Mwari vakaisa mweya wekunzvira nekurangarira mumunhu, asi havana kuuisa mumhuka. Nekuti Mweya waive mumunhu ndiwo mufananidzo wemweya wemunhu.

Chinangwa chemweya wemunhu kana kuti muviri wekubwinya kupa musha usingagumi kumweya wemunhu.

 

Chinoita kuti munhu ave akasarudzika mweya wake wekurangarira nekunzwira. Muviri wemweya unofanira kugamuchira mweya yedu patinofa nekuti mweya wedu wakaputirwa mumugove wedu weMweya Mutsvene patinozvarwa patsva.

 

Patinofa Mweya Mutsvene, hupenyu hwedu chaihwo, hunotora mweya wedu kunouisa mumuviri wemweya kana kuti wekubwinya. Ndiwo muviri wedu wekubwinya.

57-0901 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHITATU

Kwete muviri wakubwinya, asi muviri wemweya, muviri wakaumbwa kare.

57-0915 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHITANHATU . 3

Pakuuya kwaShe Jesu, chidzitiro ichi chichasimudzwa zvakare, nenzira yakanatswa, kusvika ndakufamba nekutaura naye saMuponesi wangu naMwari wangu, paachatora chigaro chaDavidi. Tichararama nekusingagumi muchidzitiro ichi kana chanatswa, asi chidzitiro chino chine zvivi. Hazvinei kuti sei ... musambofunge pamusoro pemuviri iwoyo wekubwinya panyika ino. Unofanira kufa, nemweya wenyu unofa, kuti uzvarwe patsva.

58-0529 JESU PAMUKOVA.

Rimwe zuva pachiso chevose vakakuzvidza, uchaiswa mukubwinya wopihwa muviri sewaShe unobwinya paKuuya kwake. Tinorindira tariro yakaropafadzwa iyoyo.

 

Muviri wemweya unorarama munzvimbo dzemuchadenga.

Ikoko hatizodi kudya kana kuraram. Hakuna hurwere, hakuna rufu.

Asi muviri wemweya unorarama mumuviri wekubwinya kuti ugone kurarama panyika.

58-1005 M. INZWAI IZWI RAKE

Kune nhanho nhatu kuzvinhu zvese. Kune danho remuviri wenyama, muviri wemweya, nemuviri wekubwinya... kana mweya wasiya muviri, unotora rwendo rwawo kupinda munzvimbo yezororo mumuviri uri mumufananidzo wemuviri uno watiri, asi unenge usiri rudzi rwemuviri uno.

...

Asi muviri. Asizve kana muviri iwoyo, rudzi rwemuviri wemweya, kana ukadzoka panyika, unotora marangwanda awakamborarama uri woita muviri wekubwinya. Muviri iwoyo ndiwo watichaona Ishe Jesu Kristu tiri mauri mumuviri wake waakamuka nawo kubva kuvakafa.

56-0304 KUITA NZIRA

Tiri pano takamirira kuyambuka kubva munzvimbo ino, tinoona bwiro risina chinhu kuJerusarema, zvinotiita kuti tizive kuti kune chakaitika zvino kana tikatora muviri wemweya iwoyo, tichifamba munzvimbo dzekubwinya naKristu, tichitarisana, tichitaurirana, tinogona kutaura, mweya iri paaritari inochema, “Kwenguva yakareba seiko?”

... Rimwe zuva tichamutswa mumuviri usingavori, paanodzoka, miviri yemweya iyi ichashonga kubwinya, tichava saye tichararama nekusingaperi mumuviri iwoyo.

54-0103 E MIBVUNZO NEMHINDURO. 2

Maigaroda kuva makanatswa, imi maKristu. Kune kunatswa uye kunatswa ikoko hakusi muhupenyu huno. Asi munhu mumwe nemumwe pano ari muKristu, munhu wese muKristu anenge akaiswa mukubwinya muhuvepo hwaJesu Kristu. Munenge muine umwe muviri ... parizvino kune mumwe muviri wakakumirirai kana watiri uno waparara?

 

Muviri wemweya ndipo patinenge takarurama pasina zvivi zvakanyorwa pamazita edu, asina munhu ati amaziva izvozvi.

650221 MERKISEDEKI UYU NDIYANI

Zvino, kana munhu azvarwa patsva, kubva Kudenga, anova mwana wemweya muna Kristu.

Uye, ipapo, kana tasiya nyama ino, kune muviri wemweya, kuzviratidza kwaMwari, muviri usina kuitwa nemawoko emunhu, usina kuzvarwa nemukadzi, watinopinda mauri.

Muviri iwoyo unodzoka wotora muviri wekubwinya.

Ndicho chikonzero nei Jesu akaenda kugehena paakafa, akanoparidzira mweya yaive muhusungwa; akaidzosa mukuratidzwa kwaMwari. Oh zvakanakisa izvi! Ndinokutendai Mwari!

Vakorinte vechipiri 5:1, “kana muviri uno wepanyika ukaputswa, tabernakeri yenyika, tinechavakwa chinobva kunaMwari”. Mazviona, takadarika ipapo, kuti tibve kuna Mwari pachake, zvipiwa; zvekuva nyama, kuti tiyedzwe nekupimwa nezvivi, sezvakaita Adamu. Asi kana kuedzwa kweShoko rake kwadarika, tinotorwa kuenda kumuviri uya watakagadzirirwa nheyo dzenyika dzisati dzavapo. Ishoko ratakasvetuka ipapo, kuti tisvike patiri, kuuya pano kuzoedzwa nekupimwa. Dai takapinda nepariri, kungadai kusina miyedzo; tingadai takaziva zvese. Ndicho chikonzero nei Jesu akaziva zvinhu zvese, ‘nekuti akava Shoko asati ava nyama. Ipapo tinova Shoko.

Pano tinoitwa kumufananidzo weShoko, kuti tive vaiti veShoko, tidye zveShoko, nekutarirwa izvozvo kubva pakutanga; munoona kamwenje kechiedza kamunako kubva pakutanga, pamakatanga rwendo rwenyu. Vazhinji venyu munorangarira. Makapinda mukereke muno mukapinda mukereke iyo, munodaro makaedza izvi neizvo; hakuna chakakugutsai. Ndizvo chaizvo. Asi rimwe zuva makazoziva Shoko. Ndizvozvo.

57-0810 JEHOVA JIREH

MuMereniyamu tinenge tiine miviri yekubinya, tinenge tisisade kuponeswa.

50-0405 TARIRO

Hatizivi kuti tichazovei, asi tinoziva kuti tichava nemuviri seWake; nekuti tichamuona sezvaari. Baba, ndiwo uchava muviri wekubwinya, usingazorware, usingashungurudziki, usina kuputswa moyo, nerufu. Oh, mweya yedu inoungudza kuti tisangane nekuponeswa ikoko.

 

Nekuti Mwenga munguva yeMereniyamu achange asina matambudziko, hurwere kana rufu.

51-0722 NYAYA YEHUPENYU

Vaiziva Erija naMosesi. Petro Jakobo naJohane vakavaziva. Tinoziva Jesu adzoka mukubwinya. Bhaibheri rinoti, “Hazvisati zvakuratidzwa zvatichave, “Asi tine miviri seWake, nekuti tichamuona sezvaari. Saka tichaita muviri seiwoyo. Aidya nekuita zvese. Zvino, ndinotenda kuti Denga ririko, nzvimbo chaiyo yatichaenda.

 

Mosesi naErija vaive mumiviri yekubwinya sezvo rumuko rweTestamente Yekare rwaive rwaitika. Vadzidzi vakagona kuvaziva. Mumiviri yedu yekubinya, vanhu vese vachazivana.

Pane mupata pakati pedenga nenyika sezvo Denga riri nzvimbo yepamusoro kwazvo yekuti muviri wemweya unogona kufambako.

Muviri wemweya unogona kufamba sendangariro uchava mumuviri wokubwinya unogona kugara panyika.

Saka Mwenga achava nezvakanaka zvenzvimbo dzese idzi. Vachagona kudya nekutaura vachigonawo kufamba sendangariro kana vada kushanyira mumwe munhu ari kure.

54-0103 MIBVUNZO NEMHINDURO 1

“Vaya vaakadana, akaruramisira; vaya vaakaruramisira akavaisa mukubwinya.” munhu wese akadzikinurwa panyika mangwanani ano ari pasi peRopa raJesu Kristu, akazadzwa noMweya Mutsvene, ane Hupenyu husingagumi haagoni kuparara, uye atova munzvimbo dzedenga naKristu Jesu, haazowiri mukutukwa. Vakadzikinurwa kare, hazvina kunaka here izvi? Mazviona? Vakadzikinurwa, vachigadzwa nzvimbo dzeDenga naKristu, vakaiswa mukubwinya kare.

Munoti, “Hama Bill, Magwaro anotaura izvozvo here?”

Jesu akataura izvozvo, kana kuti Magwaro akataura izvozvo, kana vanyori. Pauro, akati, “Vaakaruramisira, akavaisa mukubwinya kare. Vaakafanosarudza, akavatarira kare; vaakatarira kare, akavaruramisira; vaakaruramisira, akatovaisa mukubwinya.” kana takazadzwa neMweya Mutsvene, zvedu zvese zvakatochengetedzwa munaMwari, kutori nemuviri wemweya wekubwinya wakatotimirira, munotoenda kwauri kana izvi zvangopera. Vaakaruramisira, akatovaisa mukubwinya.

61-0315 RUZHA RISINA KUDZIKAMA

“Hakuna munhu anokwanisa kuuya kwandiri kunze kwekuti baba vangu vamudana. Zvese zvandakapihwa nababa vangu zvichauya kwaNdiri.” MaKristu mangani, simudzai maoko? Zvakanaka, mutori mumiviri yekubwinya. Amen.

... Oh, Mai, nei? Hakuna chinonzi chisina kugadzikika; nekuti takadzikama. “Ndichamumutsa ... muviri uyu wakafuka kuvora uchafuka kusavora. Hazvionekwe zvino kuti muviri watichava nawo wakadii, asi tinoziva kuti tichava nemuviri wakaita sewake wokubwinya, nekuti tichamuona sezvaari.” Amen. Hakuna chisina kudzikama pazviri. “Tichamuona.” Ngaakudzwe. Hakuna chisina kudzikama; zvese zvakadzikama.

 

Nezvatakatarirwa, titori nemiviri yekubwinya. Tinoigamuchira chete paKuuya KwaShe.

 

54-0103 MIBVUNZO NEMHINDURO 1

Vaakaruramisira, akavaisa mukubwinya.” Muviri wako wekubwinya umire parutivi pako izvozvi muna Kristu Jesu kuti ukupe Simba sechaja inopinda pabhatiri. Mweya Mutsvene uri mauri. Uripo kukupa simba idzva, kuti uponeswe kubva kuhurwere hwaunahwo, kuti upore.

Muviri wako wekubwinya inhengo yaKristu. Uri kukura munzvimbo dzepamusoro.

 

Kunobva kwauya ndangariro yakadzama.

Muviri wedu wekubwinya inhengo yeMwenga waKristu.

Nhengo yeMuviri waKristu wakakura mukati memakore 2000 enhorondo yekereke.

Saka hatingorarame tichinamata semunhu mumwe nemumwe, tinofanirawo kuva nhengo yeZano guru raMwari kunguva yekereke yeRaodikia.

Sezvakarehwa naMwari kuna Danieri, munhu mumwe nemumwe anofanira kumira panzvimbo yake kana paakatarirwa kuti azadzise Magwaro enguva yake.

DANIERI 12:13 Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo."

Esteri aifanira kunamata nekuponesa maJuda kubva pakurangana kwaHamani kwehumhondi.

64-0802 MUSHA UNOUYA WECHIKOMBA CHEDENGA NEMWENGA WEPANYIKA

Pentekositi yakati, “Kana mukataura nendimi, munenge masvika.” Vazhinji vanotaura nendimi, vasina kusvika. Tarirai kuti sei, ndudzi dzese nezvimiro zvaive nevaFarise, asi pakaratidzwa Shoko, havana kuriziva. Mazviona?

Kana muri Mwenga, Mwenga inhengo yeMurume wake. Nzvimbo imwechete yaunorizivira, kuziva kuti inhengo ipi yauri paMurume iyeye (Shoko iroro) , kana kuti hamugoni kuziva kuti muri Mwenga. Vangani vanoona izvozvo? Mazviona? Munofanira kuziva nzvimbo dzenyu.

Tinokwereta Mwenga wenguva yakadarika basa rekupedzisa Hurongwa Hukuru hwaMwari hwavakabata chikamu chavo pahuri.

Vatendi venguva yekupedzisira havazviraramiri .

Tiri nhengo yekupedzisira yeMuviri waMwari kana mwenga waMwari. Tiri kurarama munguva yekupedzisira yegondo matinofanira kuva nebasa rekudzorerwa kunguva yekutanga yeshumba.

ZVAKAZARURWA 4:2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.

ZVAKAZARURWA 4:4 Kwakanga kunezvigaro zvovushe zvinamakumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro chovushe; napazvigaro pakanga pagere Vakuru vanamakumi maviri navana, vakapfeka nguvo chena; vakanga vanekorona dzendarama pamisoro yavo.

Vakuru (24) makumi maviri nevana. Vakuru gumi nevaviri kubva kumarudzi evaIsraeri veTestamente Yekare. Vapostora gumi nevaviri kubva kuTestamente Itsva Pauro achitora nzvimbo yaJudasi.

ZVAKAZARURWA 4:6 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.

Meso anotaura nezvehuchenjeri. Mberi neshure. Vanoziva ramangwana vanozivawo zvakadarika.

ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.

Ava ndivo varindi vana vanochengetedza Mwenga waMwari mukati menguva nomwe dzemakereke.

 

 

“Zvichaitwa panyika sezvazviri Kudenga”.

Saka zviri muchadenga izvi zvinodzokorora kana Jesu akurarama mumoyo wemunhu akatendeuka.

Nzvimbo ina dzemoyo dzinomiririra zvisikwa zvipenyu zvina. Mbabvu 24 (makumi maviri neina) dzinomiririra vakuru makumi maviri nevana.

 

 

Saka muKristu ane mabasa maviri makuru. Tinofanira kukura munyasha mumwe nemumwe wedu.

Tinofanirawo kukwana munzvimbo dzedu semakondo enguva yekuguma zvinoda kuti tinzwisise kana “kuona” zvakavanzika zveMagwaro.

Makondo ane “meso” akapinza. Tinoda “muonero” wakanaka mukati mezvakavanzika zveMagwaro.

 

MATEO 24:45 Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?

46 Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana She wake achisvika akamuwana achiita saizvozvo.

47 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.

Kana musinganzwisisi zvakavanzika zveMagwaro hamuna kufanira kuva mutongi munguva yeMereniyamu.

Munhu mumwe nemumwe anofanira kuziva nzvimbo yake Mumuviri waKristu.

Nhasi tinokoshesa kuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri kuti tidzoserwe kuzvitendero zvekereke yekutanga.

Munyori mumwe nemumwe weEvangeri anofanira kuziva maonero ehushumiri humwe nehumwe hwaKristu hwaaifanira kutsanangura.

 

 

Mateo akaratidza Kristu ari Shumba. Mambo wezvisikwa zvese. Mateo Chitsauko chekutanga (nzvimbo yekutanga mumoyo) chakataridza Dzinza rake kubva kuna Mambo Davidi. Hushe hunofambiswa nemari dzemutero. Saka Mateo aive mubati wemari dzemutero.

Nguva yeShumba munhorondo yekereke yaive nguva yevapostora apo chokwadi chainyorwa muTestamente Itsva.

Marko aive muranda aitambudzika. Evangeri raMarko ndiro pfupisa pamaEvangeri ese asi rizere mabasa. “ipapo” uye “pakarepo” ndiwo mazwi ainyanya kushanda. Nzombe inoshanda nesimba uye inourayiwa sezvo nyama yayo yakakosha kwazvo haingaraswe.

Nguva yenzombe inomiririra kereke yeNguva dzeRima yakaona makumi emamiriyoni evatendi vachiurayiwa nekuti vaipikisa kereke yeRoma.

Ruka akaona Kristu seMunhu akarurama. Ruka Chitsauko 3 (nzvimbo yetatu mumoyo) inoratidza dzinza rake kubva kuna Adamu. Adamu aive akarurama kusvika paakaita chivi. Kristu, Adamu wekupedzisira, akauya kuzogadzirisa zvakatadzikwa naAdamu wekutanga.

Ruka anotiudza pamusoro pemwana muparadzi nembavha yaive pakufa asi vose vakaregererwa. Kuregerera kwaMwari kwakafanira isu vatadzi.

Nguva yemunhu yaive nguva yeRumutsiridzo. Ruzivo rwevanhu rwakaoma Martin Luther kuGermany achiparidza kururamisirwa nekutenda chete, kwete nemabasa. Muna 1611 Bhaibheri reKing James Vhezheni rakanyorwa nevadzidzi 47. Rakaongororwa kwemakore anoda kukwana 160 rikazoshambadzwa mugore 1769. Mwari akapa nguva iyi ruzivo nekurudziro kuti vazive kuti voturikira sei zvakazara mazwi echiHeberu nechiGiriki. Mwari akakomborera dzidzo nemabasa emaoko kuvanhu. Michelangelo, Shakespeare, Mozart, Beethoven naLeonardo da Vinci ndivo vamwe vevanhu vaive vakakomborerwa kwazvo nezvipo zvedzidzo nezvemabasa emaoko munguva iyoyo.

John Wesley muEngland aiparidza hutsvene pasina zvematongerwo enyika zvaipinda mukereke. Izvi zvakateya nheyo dzakasimba dzenguva yemamishinari.

Johane anoona Kristu saMwari, Gondo rinobhururuka.

Johane haana kuisa chero mufananidzo sezvo Johane achitaura chokwadi cheMagwaro nemo nemo, asingapi mifananidzo yeraramo yevanhu. Semuenzaniso, Chiratidzo chechikara ndicho 666. Johane 6:66 inotiudza pamusoro pevadzidzi vakamira kutevera Jesu, Shoko. Nguva yatinongomira kutevera zvatinotenda kupfurikidza kuyananisa mavhesi eBhaibheri akasiyana siyana pamwechete, tinobva tatora chiratidzo chechikara pahuma dzedu. Ndipo patinofunga napo. Tinonyengerwa kusvika pakutora zvitendero zvemasangano patinotevera vatungamiri vemakereke nezivo dzavo dzevanhu. Edzai kutsvaga izwi rekuti Tiriniti kana rekuti Kisimusi kana zuva 25 Zvita muBhaibheri.

Mugore 1906 rumutsiridzo rwePentekositi rwakadururwa mumugwagwa weAzusa Los Angeles, muAmerica. Mapapiro eGondo rinobhururuka. Pakati pegore 1947 negore 1965 William Branham akazivisa zvakavanzika zveMagwaro kuti tiwane “maonero” egondo anodiwa kuti “tione” kana kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri.

Saka tiri kurarama munguva dzezaruriro dzezvakavanzika zveBhaibheri. Kana tisingagoni kutsanangura zvakavanzika zveBhabheri tinenge takapesana nechinangwa chenguva yekereke yedu yeRaodikia. Izvi ichokwadi kuvanhu vazhinji sezvo Jesu akati Iye amire kunze kwemukova wekereke yeRaodikia achigogodza.

Jesu ndiye Shoko. Nhasi kune maVhezheni anodarika zana eBhaibheri reChirungu, ese akasiyana. Kune ndudzi dzinodarika 45 000 dzemakereke nemasangano, ese akasiyana asi vese vachiti vari kugona. Kunotoda kushaikwa vanoti King James Vhezheni reBhaibheri iri ndiro Mukuru wavo. Vanowana zvakakanganiswa mariri vachiti rine zvarakatadza kutsanangura zvakazara. Asi Jesu ndiye Shoko. Kana mukazvidza bhaibheri muchiti harina kururama, munenge muchiti Jesu haana kururama.

54-0103 MIBVUNZO NEMHINDURO 2

Zvino, apo Jesu , ari matiri nenzira yeMweya Mutsvene, muviri wake wemweya, Mweya Mutsvene paachadzoka nemuviri wekubwinya, ticharumbidzwa pamwe naye mukufanana naye. Muri kuona zvandiri kureva?

...

Zvino, kwaive nenguva iyo vanhu vasina kusvika pahuvepo hwaMwari pavaifa: vakaruramisirwa. Kwaive kuTestamente Yekare. Vakapinda munzvimbo yaidaidzwa kuti Paradiso, kwaive nemweya yevakarurama yaive yakarindira muParadiso. Asi Paradiso yaive nzvimbo iyo Mwari aichengetera mweya yakaita kunge nzvimbo yezviroto, kusvika Ropa raJesu radeurwa; nekuti ropa renzombe nembudzi harina kugona kubvisa zvivi; raingofukidzira zvivi. Asi Ropa raJesu rinobvisa zvivi.

Zvino, ndekupi ikoko? Tinozviwana riini? Zvino. “Avo vaakaruramisira, akavaisa mukubwinya.” munoziva here kuti miviri yedu yekubwinya isingavori yakatimirira muhuvepo hwaJesu Kristu izvozvi, yakamirira kuti tiuye?

 

54-0103 MIBVUNZO NEMHINDURO 2

Pakarepo kana miviri yedu yenyama yatanga kukura muna mai, kunenge kuine muviri wemweya wakamirira kugamuchira pakarepo kana mwana iyeye angozvarwa.

Uye pachokwadi chekuberekwa kwemunhu pamweya, kunoitawo muviri unenge wakamirira kugamuchira kana wangobva panyika ino [murufu] mazviona? Zvichipesana, zvichidzokera kuEdeni zvakare (Mazviona?), zvinotodzokera.

 

Mweya yedu yevanhu inopinda mumuviri uno patinozvarwa. Kana tikafa, kana takazvarwa patsva, tinosiya miviri ino inovora topinda mumiviri yehuvepo hwaMwari. Muviri chaiwo unorarama munzvimbo dzemweya.

54-0103 MIBVUNZO NEMHINDURO. 2

Izvi zvinobvisa rumborera rwese kubva murufu zviriko. Hazvishamisi Pauro akamira akati, “Rufu, rumborera rwako rwuripiko? Iwe guva, kukunda kwako kuripiko?” Akati, “Ndotenda Mwari anotipa kukunda kupfurikidza Ishe wedu Jesu Kristu.” Hongu, hama dzangu. Tabernakeri yedu yenyika ino ichaparadzwa titori neimwe yakatimirira, saka kanganwai nezvazvo.

54-0302 KUMUTSWA KWEMWANASIKANA WAJAIROSI

Pamberi pevanhu vake nhasi, mumeso ake tiri kutoiswa mukubwinya; “vaya vaakaruramisira, akato (muzviitiko zvakadarika) vaisa mukubwinya.” Chii chinokuita muKristu, kuti ude kururamisirwa ikoko, nekuti kururamisirwa kuripo, mune imwe miviri yakaiswa kare mukubwinya. Kana uyu ukabviswa, munopinda mune umwe.

54-1204 MWARI ACHIRURAMISA KEREKE YAKE.

Panofa Mutsvene, handigoni kukuudzai kuti agamuchira muviri wakaita sei. Asi hausi muviri wakaiswa mukubwiya. Hausi mweya, asi rumwe rudzi rwemuviri unorarama kusvika pakumutswa kwevakafa. Paakataura kuti, “Handisati ndagamuchira kubwinya uku, asi ndiri kuenda kudenga, tichabuda muchinguvana.

55-0222 JEHOVA JIREH

Zvino muhuvepo hwaMwarimakatoiswa mukubwinya kare, makamirira. Hazvina kunaka here izvi? Zvino, takamirira miviri yedu yakadzikinurwa, takagara tose munzvimbo dzeDenga muna Kristu Jesu,

55-1110 HUPENYU HWAKAVANZWA MUNA KRISTU

Miviri iyi yakaitwa nei? Nekachiedza kekozimo kaduku, maatomi mashoma, nepetiroriyamu, nezvimwe, zvakaiswa pamwechete, zvakatorwa naMwari kubva muguruva, akaita mufananidzo. Tiri kurarama munzikamu zvaasina kutarisira. Rimwe zuva rekubwinya rufu ruchaita mufananidzo, tichadzoka zvakare mumuviri mutsva wakaiswa mukubwinya, hatizochembere, hatizorwari, hatizoputswi moyo.

 

56-0403 MUFUDZI WEMAKWAI

Zvino kana ari iye Mwari watiri kubatira, kana ariye mutsvene watiri kubatira, zvino tingafunganya nezvei? Hurwere, rufu nematambudziko, kana uvora, kana zvimwe zvese ... rimwe remazuva aya maatomi masharu aya akabatanidza miviri ino achaparadzwa, tiri kudzokera kuguruva, chiedza ichocho chiri kudzokera, nezvimwe zvikamu zvenyika zviri kudzokera kunzvimbo dzazvo; asi parumuko, achazo “Pinda mariri.” uye ...? ... Ndizvo zvazvichava. Hongu, Baba. Hazvina kunaka here?

56-0427 KUTENDA

Kristu akafa, panouya munhu. Anotora zvivi zvedu pamafudzi ake, akaenda uko, akanoroverwa pamuchinjiko, mweya wake ukaputswa kubviswa maari ukakandirwa mugehena, Mwari akamumutsa zuva retatu kuti isu tiruramisirwe akatumira Mweya Mutsvene kudzokera kwatiri, muviri weMwanakomana wake wakaiswa mukubwinya ugere pachinzvimbo chake kudenga ... tarirai kuti rudzi rwupi ruripo.

56-0427 KUTENDA

Hazvisati zvakuonekwa kuti tichava nemuviri wakaita sei ikoko, asi nei, handingagoni kudya, kumwa nekurara sezvandinoita pano, asi uchava muviri, asi kwete muviri wakamutswa kuvakafa ukaiswa mukubwinya. Mweya yaive paaritari yaichema, “Ishe kusvika riini?”

56-0801 MISEVE YEDZIKINURO YAMWARI ICHIPFURWA KUBVA PAVUTA

Zvino, tarirai, hamuzombove Mutumwa; munozviziva. Hamuzombova Mutumwa. Hamuzokuri; hamuchembere; hamuzomborwari; hamuzoshungurudziki. Hamuzombova mutumwa. Muchava munhu, asi anenge angofuka kusavora. Muchava nemuviri wakafuka kusavora semuviri wake. Mose muchadya nekumwa, nekurarama nekuva nerudo, nekuwirirana nekusingagumi nekusingagumi. Kwete zvipoko zvichingofamba mumhepo, kwete, Bhaibheri haridzidzisi izvozvo kwete ... Mwari akaita vatumwa. Akakuitai kuti muve vanhu. Jesu akauya ... Mwari akauya, akaitwa nyama, akaitwa Munhu kuti agare pano panyika nevanhu vake panyika. Rimwe zuva achadzoka mumuviri unoyera, muviri wekubwinya.

 

Muviri wemweya haudyi haunwi haurare. Asi mumuviri wenyu wekubwinya munogona kudya nekunwa.

Hakuna kutaurwa nezvekurara mumuviri wekubwinya sezvo kusina vusiku ikoko.

ZVAKAZARURWA 21:25 Masuvo aro haangatongozarirwi masikati, nokuti vusiku habwuchazovipo.

Saka tichararama muMereniyamu mumuviri wekubwinya unodya nekunwa asi usinganete kana kuda kurara.

Muviri wemweya unenge uri mumuviri wedu wekubwinya unoonekwa unotigonesa kufamba nzendo sendangariro wotoona waveko kana tichida kufamba kuenda nzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika.

57-0901 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHINA

Pakutanga zvaive zvimwechete, aive Mweya mukuru uya, Tsime umo chokwadi chese, rudo rwese, nerugari rwese rwaivemo. Chese chinhu chakarurama chaive muTsime iri. Wakatanga kuita muviri, muviri wemweya, muviri watinopinda mauri. Kwete muviri wekubwinya, asi muviri wakaita sewemutumwa; une chimiro nemufananidzo.

Pese pandinoona muti, ndinofunga, “Muti uyu hausiwo. Kune chaiwo kumwe kunhu.” muti uyu wakaitwa kubva pachimwe chinhu. Huchenjeri hwakauita. Chinoitwa nenyika ino kuratidzira zveDenga. Bhaibheri rinotaura kudaro. Uye kana paine muti pano uchafanira kuparara, kune umwe uri mukubwinya usingaparare.

Kana ndikaona munhu, ndinoona vaviri muwanano vanodadisa, murume nemukadzi wake, vachifamba mumugwagwa, vachidanana pamwechete. Zvinoratidzira chii? Zita raJehova ngarirumbidzwe! Kune imwe iri kudenga isingaparari. “Kana tabernakeri ino yepanyika ikaparara, tine imwe yakarindira, yemweya (thiofeni).”

 

57-0908 VAHEBERU CHITSAUKO CHECHISHANU NECHECHITANHATU 1

Kristu akati, “Ndakabva kuna Mwari,” paaive pano panyika, “Ndinodzokera kuna Mwari.” mumashure merufu rwake, kuvigwa pamwe nekumuka, muviri wokubwinya ugere kurudyi rwaIshe, kuti atimiririre; Pauro akamuona seShongwe yomoto, zvakare: chiedza chakadzima meso ake, chakapotsa; chamuita bofu.

59-0510 UYU NDIYANI

Vadiwa vedu vanoda kusanganawo nesu sekuda kwatinoita kusanganawo navo. Kuchava kusanganiswa kwakadii kana adzoka – kusangana nevadiwa vedu nekuvaona mumiviri yakamutswa, yakaiswa mukubwinya, vachifamba nemhepo yerumuko. Vachiona hunhu hwavo, kuti hwakashandurwa sei, kunaka nerunyararo, harizove basa kana dambudziko, nekukwira nekudzika, asi tichave nehupenyu husingagumi kuti tirarame pamwechete.

Oh, nguva huru yakaipa yatiri kurarama, hakuna nguva yekuita zvinhu, kukwira nekudzika kubata bata, nei, izuva rakaoma.

 

59-0815 GONDO RINOTARIRA DENDERE RARO

Agere parudyi rwaMwari pachigaro chaIshe chehushe. Hachisi chigaro chake. Achadzoka kuzotonga pachigaro chake; Chigaro chaDavidi; achatora chigaro Chake. Agere pachigaro chaMwari, akamirira muvengi wekupedzisira kuti aitwe zvitsiko zvetsoka dzake. Achadzoka rimwe zuva, kuunza mweya yakanakisa pamwe naye kunotora miviri isingavori, kuti vararame mumiviri yekubwinya, kuti vararame muMerenyamu, uyezve nekusingagumi pamwe naye.

 

Mwenga achaita muviri wekubwinya kuti ararame muMereniyamu uye kuti ararame nekusingagumi.

59-1108 KUBATA MASUWO EMUVENGI

Tine vimbiso yekuti tichagara nhaka yenyika, tigodzoka nenzira yekubwinya, mumuviri wekubwinya, mumashure mekuiswa kwemuvengi wekupedzisira pasi petsoka dzeMwanakomana umwechete uye wekupedzisira waMwari achauya muHushe.

 

60-0518 KUTORA

Munotangira Hupenyu Husingagumi paaritari. Pano ndipo pamunotangira kurarama nekusingagumi. Oh, munotanga Hupenyu husingagumi ipo pano. Munozvarwa patsva, Mwanakomana waMwari. Zvino pamunofa, munotanga ... kana rufu rwenyu rukakudonhedzai pamuviri uno moyo ukamira kurova, tsoka dzinovora dzikamira kushanda, kamumvuri kaduku kaive mumvuri wemumvuri, pakarepo kanova mumvuri wemumvuri, panotevera unova mumvuri, panotevera wova kakova, kouya rukova rukova rwoita rwizi, panotevera rwizi rwoita gungwa; mumashure mekanguvana unenge wamira pamberi pehama dzako vakamira ikoko, vakapfeka nguvo dzemiviri yemweya, zvekuti munozivana, modanana. Munenge madzokera kuva jaya nemhandara zvakare. Ndizvo chaizvo. Unomirira ikoko kusvikira kuuya kwaShe Jesu. Rimwe zuva muviri wake wekubwinya.

[Jesu ane Muviri wekubwinya asi vakafa muna Kristu vanomirira vari mumiviri yemweya vakamirira kuuya kwake.]

Zvino, rangarirai, kuti mumuviri wemweya, kwete wekubwinya, muviri wemweya. Rimwe zuva muviri wemweyaiwoyo uchabva kudenga naJesu.

“Nekuti ndinoti kwamuri, “1 Vatesaronika 4:13, “Ndinoti kwamuri; handikusiyei musingazivi, hama, maererano nezvinhu izvi kuti varere, musatambudzika, chero zvazvo vamwe vasina tariro. Nekuti kana tichitenda kuti Kristu akatifira akamuka zuva retatu, chero zvakadaro varere munaKristu Mwari achadzoka navo. Nekuti tinotaura izvi kwamuri nekuraira kwaShe, kuti isu vapenyu vachange varipo paKuuya kwaShe, havangatadzisi (shoko rakanaka) havangadzivisa vaya varere. Nekuti Hwamanda yaShe icharira, vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.

Miviri yemweya iyi inoburuka yopfeka miviri yekubwinya pano panyika.

Isu vapenyu tinenge tasara tinoshandurwa pakarepo mukubwaira kweziso, totorwa pamwechete navo kunosangana naShe kudenga.

[Mwenga anorarama anoshandurwa kupihwa miviri yemweya vopihwa miviri yavo yekubwinya. Kukwira kudenga koitika]

... Zvino murikuendepi parizvino? Kana tikapfeka miviri yekubwinya iyi, nguva huru ichasvika kana miviri yekubwinya iyi, muviri wemweya uyu waitwa muviri wekubwinya

 

60-0518 KUTORA 2

Pauro akati, “Hazvisati zvakuratidza chaizvo kuti muviri wakaita sei watichava nawo, asi tinoziva kuti tichava nemuviri sewake. Chii? Akamboita muviri wemweya iwoyo here? Hongu baba. Paakafa, Bhaibheri rinoti, “Iye” zita rinodaidza iye chete, “Iye akaenda kugehena akanoparidzira mweya yaive muhusungwa.” Hareruya. Akazviita sei? Ainzwa mumoyo make, ainzwa nenzeve dzake, aitaura, aiparidza nemuviri mumwechete wakafanana nemuviri wekubwinya iwoyo mune humwe husiku. Akaparidzira mweya yaive mugehena, yaive isina kutendeuka mumazuva aNoa.

Asi paakamuka musi weIsita, zvaisagoneka kuti muviri uone kuvora, ‘nokuti Davidi muprofita akanga agara azviona kare, “handizosiyi mweya wake mugehena, uye handizorwadzisi Mutsvene wangu kuti avone kuvora. Pamusoro pazvose nyama yangu ichazorora mutariro, nekuti haazosiyi mweya wangu mugehena, uye haazosiyi Mutsvene wangu achivona kuvora.” maawa makumi manomwe nemaviri asati akwana kuvora kusati kwapindira, muviri wemweya waMwari, muviri iwoyo wakaenda ukanoparidzira vaive mutorongo, vasina kutendeuka mazuva ekutambudzika kukuru kwenguva yaNoa, vanomutswa, kuvora kufukidzwa kusavora, akamira Akadya, anotiudza kuti aive Munhu. Hareruya.

 

Jesu akadya mumuviri wake wekubwinya.

60-0522 E KUTORA 4

“Iwe akaita kuti zvimuke here ...” kuti “zvimuke” zvinorevei? “Kuzviita zvipenyu” zvakanga zvoda kupera, asi akakusimudza nekushandisa mari. Zvichazova zvakadii kana muka... kana mukazobata vasanangurwa? Oh.

Hazvishamisi nei Pauro, akatorwa akakwira mudenga retatu akati, “Meso haasati aona; nzeve hadzisati dzanzwa; uye hazvisati zvapinda, zvapinda mumoyo yevanhu, kuti Mwari akavagadzirirei.” Zvichavei? Munotaura pamusoro pemufaro zvisingatsananguriki uye zvizere rumbidzo. Whewu, Ummm. Imi vaive vakafa kuzvivi nekutadza, achakumutsai pamwechete nemumvuri. Zvichazovei kana mukasvika pamumvuri wemumvuri mumumvuri, mumumvuri zvino mukakova, murukova, murwizi, rwizi ruchipinda mugungwa?

Zvichava zvakadii kana muriko kunze uko mudzikinuro nemuviri mutsva, madzokera kuita jaya zvakare, kana mhandara; hamuzofi zvakare. Motarisa pasi panyika mofunga, “Ndinokwanisa kumbodya mazambiringa nemvura inotonhorera, asi, munoziva, handinei nazvo kuno.” asi rimwe zuva Jesu ari kuuya, muviri sewemutumwa uyu, muviri wemweya uyu, wandiri kurarama mauri, hauzobvi mumimba yemukadzi zvakare; hauzouyi nekusangana pabonde zvakare asi nekuti akaberekwa pasina kusangana pabonde, ndichamutswa pasina zvese izvozvo. Achataura rimwe zuva, vakafa muna Kristu vachamutswa, muviri watakamborarama mauri uchamutswa kupinda mumuviri wekubwinya; ndichafamba; ndichataura; ndichararama; ndichapembera (Hareruya) nguva dzichauya, kupfurikidza Jesu Kristu Ishe wedu. Muripo hama; ndiro Evangeri.

 

60-0607 KUNZWA KUGAMUCHIRA NEKUITA

Mutsa vatsvene vose uvape muviri wekubwinya. Hareruya. Ndiri kufara kuti iri kuenda kudenga.

Muviri wekubwinya unouya pakumutswa kwevakafa.

Hama Branham vanotsanangura kusangana nevatendi vake kuseri kwechidzitiro chenguva.

60-0608 KUITA GUNGANO

Kuonekwa kutsva, ndine ... pandaive mutadzi, handina kubvira ndamhanya mhanya. Handina kubvira ndakonewa zvekusvika pakumhanya mhanya nevakadzi. Hadinei nekuti munhurume anoedza sei kurarama muhutsvene, kana mukadzi akaisa maoko ake pamurume, pane zvazvinotoita pamunhu. Izvozvi munogona kutongo ... handinei nazvo, munogona kuzvidaidza kuti vakanatswa (ndinototendawo mukunatswa), asi muchiri vanhu. Ndizvo chaizvo. Pane zvazvinotoita sevanhu. Handina kuti munozoita zvakaipa, handina. Simba raMwari rinokudzivisai, motoenderera mberi. Asi chero munzvimbo iyoyo, manzwiro enyama haako.

Zvino kunoouya vanhu vachingombundira, vachiti, “Hama yangu yakanaka.”

Vakadzi vose vane bvudzi refu, nguvo chena, vasina shangu. Vaive vaduku... vakaita kunge vane makore gumi nemasere, makumi maviri. I ...

Vaitondibata vondimbundira, votaura kuti, “Hama yedu yakanaka,” vondimbundira saizvozvo, votoenda. Neumwe munhu ...

Ndakaona mukadzi wangu wekutanga achiuya. Zvino, paakafa aive akuda kuita makore makumi maviri nemaviri; aive asina kushanduka. Akauya achimhanya. Ndikati, “Pachokwadi achandidaidza kuti murume wangu,”

Akafamba akauya, akatanga kusekerera, akandimbundira. Akati, “Hama yangu yakanaka.” Akambundira umwe mukadzi aive ambondimbundira, neumwe musikana.

Kwakabva kwauya murume, zvichiita sekuti vaive nebvudzi pamapfudzi avo. Vaive vanhu vaioneka vakanaka kwazvo pavose vandakamboona: meso senyeredzi meno akachena. Vaindimbundira, vachiti, “Oh, hama yedu yakanaka.”

Mumwe wavo akabva adanidzira kune umwe akati, “Ndinofunga asvika. Azosvika.”

Ndakafunga, “Ndafa izvi dizvo ... ndakapinda mukubwinya? Ndizvo here izvi?” ndikafunga kuti hazvigoni.”

Ndakatarira, izwi raive rataura kwandiri muimba yangu, ndakarinzwa zvakare. Ndikatarira, ndikaona ndakarara pakadaro apo panhovo dzangu. Handina kubvira ndafungira zvakadaro kuti zviitike. Zvine zvazvakaita kwandiri; handichazove munhu mumwechete zvachose. Saka ipapo, zvaka ...

Ndakatarira, ndikafunga, “Chii ichi?” ndakafunga, “Zvakanaka, vanhu vose vaive vaduku.” ndakatarira, ndaive muduku zvakare. Ndaive ndaita mujaya zvakare. Ndakati, “Izvi zvinoshamisa.” Ndakatarira ...

Handigoni kuzvitsanangura. Hakuna mazwi andinogona kufunga pazvose izvi. Kana ndikati zvakanaka, kana zvepamusoro soro, kana kuti zvakarurama, hazvingatsananguri zvakanaka. Kwaive kusina mangwana; kwaive kusina zuro. Vaive munguva isingagumi. Havaineta ikoko; vaive vasingadyi. Asi vaitonzwa ndaitozvinzwa kuti vainzwa; vaitaura; vaive vakanditarira. Vainzwa.

Ndakati, “Handisi kuzvinzwisisa.”

Izwi iroro rakati, “Izvi zvakanakisa mudiwa.” Akati, “Handizvo zvawakataura kuti zvaive Mweya Mutsvene here?”

Ndakati, “Hongu.”

“Izvi zvakanakisa mudiwa.”

... akati, “Hakuna vanaBranham.” Ndikati, “Vatendi venyu, vatendi venyu.” Akati, “Mukadzi wauri kurumbidza uyu,” Akati, “Unoziva kuti aive nemakore mangani here pawakamuunza kunaKristu?”

Ndakati, “Handizivi.”

Akati, “Aive adarika makumi mapfumbamwe.” Akati, “Tarira, muduku nekusingaperi”.

Akanditarira. Akati, “Hama Branham, Jesu achauya rimwe zuva, tese tichadzokera panyika.”akati, “Ipapo tichagamuchira miviri yedu yekubwinya; torarama tiri pamwechete nekusingagumi.”

Ndakati, “Pauro achamirawo pamberi pevaakatendeutsa here?”

Akati, “Chokwadi achaitawo saizvozvo.”

Ndakati, “handina kusiyanisa shoko chero rimwe; ndakagara nezvaitaurwa neMagwaro chaizvo. Handinei nekuti ani ati kudii, kana kuti haana kuti kudii; ndakagara nawo sezvaaive. Saka kana boka raPauro rakaponeswa neranguwo.

Mhere huru yakaita seyaibva kuzviuru nezviuru yakati, “Tinozviziva.”

Ndakapinda mune imwe nzvimbo yaibwinya, uko vakwegura vakadzoka kuita vaduku zvakare, kwavakararama nekusingaperi vasisafe, nechivimbiso chekudzoka panyika kuzogamuchira miviri yekubwinya.

 

60-0803 ABRAHAMA

Ndakati, “Kana Pauro akazviita, ndinozviitawo, nekuti ndinoparidza zvimwechete zvaanoparidzawo, ndisingashanduri kana Shoko rimwechete.

Vanhu vose vakadanidzira, “Tinotenda mune izvozvo.” Vakati, “tinodzokera panyika tonogamuchira muviri wekubwinya, torarama pamewechete nekusingagumi muhwaro ihwohwo.

 

Kuvimba kwaive nevateveri vehama Branham ndekwekuti vaive vavadzidzisa zvaive zvaparidzwa naPauro.

Chakavanzika chaMwari ndechekuti kereke yekupedzisira inofanira kudzokera chaipo paive nekereke yekutanga nezvayakatenda mazviri. Mbeu haikohwewe kusvikira yafanana nembeu yakadyarwa.

Saka Mwenga wekupedzisira anofanira kugona kutsigira zvaanotenda kubva kuTestamente Itsva yakanyorwa munguva yepapostora.

60-0729 ZVINODIWA KUTI TIKURIRE KUSATENDA KWESE KUTENDA KWEDU.

Zvino, nguva zhinji, vanhu vanoti, “Hama Branham, munoratidzira kuporesa kweMweya,” kwete, kunyepa ikoko. Ndinoratidzira Jesu Kristu. Mazviona? Kuporesa kwemweya chinhu chiduku, hamungaenzanisi Kristu nechinhu chiduku, kutenda kuti Kristu, Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, kuti akafira zvivi zedu, akamuka zvakare zuva retatu, zvichibva muMagwaro, izvozvi agere kurudyi kwesimba raMwari, ari muPrista Mukuru, kunoyananisirwa mabasa edu.

Ta — takamirira, takamutarisira kuti asiye kubwinya rimwe zuva adzoke panyika, kuti amutse vakafa nekushandura vaya vari kurarama kuti vapinde mumuviri wekubwinya kuti vakwire kudenga, kurarama naye kwenguva yemakore matatu nehafu, munguva yeKutambudzika kukuru, nekudzoka kunyika yakanatswa kunorarama chiuru chemakore pano panyika nekereke yake, nekugara naye nekusingagumi, paanogara pachigaro chaDavidi. Zvino, tiri kutarisira nguva huru iyoyo.

60-0803 ABRAHAMA

Zvisinei nekuti nzvimbo iyoyo irikupi, kuti iri mune imwe nzvimbo muchadenga. Handigoni kukuudzai asi ndaive kumwe kunhu kwandaigona kuona zvakadarika

... ndikaonawo, zvaiuya kwandiri, kwaita sekunevakadzi miriyoni. Vaive vaduku, vaiita sevane makore makumi maviri, nevamwe vese vaive vakadaro - zvino, ndiregererei hama, nekutaura uku. Asi ikoko munhu wese aive muduku, vakadzi vaive nebvudzi kusvika muzviuno zvavo, vakashonga nguwo chena, vasina shangu. Vakamhanyira kwandiri, vakandimbundira, vakadanidzira vachiti “Hama yedu yakanaka.” ... asi hakuna munhu ane ropa mutsinga dzake anorarama wekuti munhukadzi anongokwanisa kumbundira ... handisi kuti varume zvinenge zvakashata kana kuti mufunge zvisizvo, asi kumaonero epanyama. Asi munzvimbo iyoyo zvaive zvakasiyana yaive hama munaShe. Vakabva ... Nda — ndakatarira, ndikati, handigoni kutsanangura zvazvaive. Kwaive kusina nezuro, kusina mangwana; kwaive izvozvi. Vaisaneta asi vaitobatana maoko. Vaitotaura; vaive nemiviri sezvavaive pano, asi vari vaduku.” ndikati, “handizvinzwisisi.”

... Uye tiri mutiriniti, tine miviri inowora, muviri wemweya, nemuviri wekubwinya. Nhanho nhatu dzinotidzosera pakururama zvakare sezvazvaive muEdeni.

61-0312 JEHOVA JIREH

Mungade sei ruponeso rwemweya munguva yeMereniyamu kana kuine miviri yokubwinya.

61-0318 SUNGANO YAABRAHAMA YAKASIMBISWA

Rimwe remazuva aya, Evangeri rekare ramunonzwa, richanyarara rimwe remazuva. Kereke inogashira muviri, wekubwinya. Muchawana muviri wakadaro kuti muende kudenga kunosangana naye kumakore. Hatigoni kuenda nemiviri yatinayo. Saka vose varikutarisira, vese vakaterera, vose vari kuda, ndivo vachashandurwa pakarepo mukubwaira kweziso votorwa kukwira kudenga pamwechete kunosangana naShe mumakore.

 

Kutenda kwekukwira Kudenga hakugoni kuitika kusvikira tava mumiviri yedu yekubwinya.

61-0423 ABRAHAMA NEVANA VAKE VAKABEREKWA SHURE KWAKE

Tarirai Jesu. Hatingazvinzwisisi. Jesu paakapinda mumba nepachidziro, mukova waive vakapfingwa, akanomira pakadaro apo, aive atove nemuviri wake wekubwinya, akadya navo. ... Hareruya. ngaarumbidzwe

61-0429 RUZHA RUSINA KUDZIKAMA

Anokwanisa kuuya kubva mukubinya kupinda mumoyo mako, nekukasika sekufunga nezvake kwaungaite. Nekukasika sekupupura zvakaipa kwaungaite, anokwanisa kudzinga satani akatopinda iye, nekukasika sekutenda kwaunogona kuiita maari. Kukasika chaiko ...

 

Munzvimbo dzemweya dzedenga, tinofamba sendangariro.

61-0611 ZVAKAZARURWA CHITSAUKO CHECHISHANU. 1

Takamirira kutorwa kwakazara. Izvi zvichaitika riini? Parumuko rwekutanga. Ndipo miviri yedu paichashandurwa kubva muzvidzitiro zvino zvatiri topihwa miviri mitswa sewake wekubwinya, “nekuti tichamuona sezvaari, uye tichave saye.” paachaonekwa, tichaonekwawo takafanana naye. Tichava nemuviri sewake, muviri wakanaka wekubwinya, miedzo yese nekurwadziwa kwese kwehupenyu kunopera kuita guti kwotorwa kwoita sekwaisavapo zvachose.

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO 2

“... kana kuti kuchave nezvivi here munguva iyoyo? Kwete. Kuchave kusina zvivi panyika. Satani anenge asungwa.

“kuchava nevanhu panyika vane miviri inoonekwa here panguva yacho?” hongu. Baba. Tichagamuchira miviri yedu yekubwinya tiri pano panyika, tichidya, kunwa, kuvaka dzimba, nekurarama sezvatiri kuita izvozvi asi zvichava kwemakore chiuru. Ndiwo muchato weGwaiana neMwenga wake.

65-0221 MERKISEDEKI UYU NDIYANI

Zvino, munoona, anodzoka, mugwara iroro, kubva pamicherechedzo kusvi ... Kubva nheyo dzenyika dzisati dzavapo, Zita rake rakaiswa muBhuku reHupenyu reGwaiana. Zvino, kubva ipapo, akava Shoko, huMwari hwakaratidzwa, hunoonekwa, huchishaikwa. Akava nyama akadzoka zvakare, akamutsa muviri iwoyo zvakare uri mukubwinya.

Asi imi nekuti makadarika muviri wekweya mukava vanhu venyama, kuti muedzwe mezvivi. Uyezve, “Kana tabernakeri yenyika ino ikaparadzwa, tine imwe yakarindira kare.” hatinayo miviri.

Asi tarirai! Kana muviri uno ukagamuchira Mweya waMwari, hupenyu husingavori huri mamuri, hunokandira muviri uno kunozviwisira kuna Mwari. Hareruya! “Uyo akaberekwa ari waMwari haaiti zvivi; haangatadzi.” VaRoma 8:1, “Zvino hakuna kutumwa kune avo vari muna Kristu Jesu; havafambi nekuda kwenyama, asi nekuda kweMweya.” Ndizvozvo. Mazviona, zvinowisira muviri wenyu kwaari.

65-1031 SIMBA REKUSHANDURWA

Kubva mumatambudziko ake enguva dzedu dzanhasi dzeEdeni resainzi ratiri kurarama mariri, retsika, sainzi nedzidzo, zvinhu zvechimanje manje izvi zvese, tichasimuka! “nguvo yenyama yatiinayo iyi tichaisiya, tosimuka totora mugove,” rimwe zuva. Tichafamba nemumhepo, izvi zvese zvichaguma. Nekuti Shoko raMwari rinotitora kubva pamafungiro echimanje manje enjere dzedu, njere dzedu dzoshandurwa moyo yedu yoitwa mitsva ichitevera Mwari, mweya yedu; mweya mumwechete unotaura kuti, wakatishandura kusvika patiri nhasi, uchatiisawo Parizvino, Mukubwinya kwake, nemuviri wekubwinya.

 

MuMereniyamu tichava nemuviri wekubwinya unogona kudya nekufamba pasi asi usingarwari usingadi kurara. Unogona kutaura nemhuka sezvaiita Adamu.

Mukati memuviri iwoyo wekubwinya ndimo muchava nemuviri wedu wemweya unogona kufamba rwendo sendangariro.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23