Mereniyamu chikamu 2 – Nhanganyaya, MaJuda
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Nguva nomwe dzemakereke dzinogumira mubogozozo rezvechitendero zvematongerwo enyika, nezvehupfumi pasi rese richitsvaga mudzikinuri anogona kudzikamisa zvinhu. Kudengenyeka kwenyika kukuru chiratidzo chekuti mamiriro ezvinhu panyika achakanganiswa Chisimbiso Chechitanhatu pachichazarura nguva yeKutambudzika kukuru.
ZVAKAZARURWA 6:12 Zvino ndakavona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, tarira kwakanga kunokudengenyeka kwenyika kukuru,
Zvino mumazuva evanhu apo vanhu vanogona kuita sekuda kwavo nesimba ravo resarudzo. Asi Zuva raShe riri kuuya apo vanhu vanofanira kudavira kana vobvunzwa pamusoro pezvavanotenda.
I VATESARONIKA 5:2 Nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raShe rinosvika sembavha vusiku.
Zuva raShe inguva yeKutambudzika.
ISAYA 13:6 Chemai, nokuti zuva raJEHOVA riri pedo; rinosvika sokuparadza kunobva kuna waMasimbaose.
I VATESARONIKA 5:3 Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; havangatongopukunyuki.
Kuchaita sungano yerugare nekugarika. Izvi zvinoreva kuti mingaidzo dzezvematongerwo enyika nehondo zvinofanira kutanga kuitika. Nhasi kune hondo dzinosvika 40 nehondo dzemarudzi nekuratidzira kuri kuitika munyika gore rega rega isu tinotoita setinoona zvese izvi “sezvazvinotofanira kuva zviri”. Saka zvichaipira vanhu zvakadii pakutengesa zvavanotenda kuti vatevere mutungamiri anovimbisa rugare nekuvachengetedza.
JAKOBO 5:1 Tambirai, imi vafumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai.
Kusagadzikika munezvemari nekushushikana zvichatsvaira nyika. Asi munguva yeKutambudzika chero vapfumi vachange vasina kuchengetedzeka.
Vapfumi vanovimba nepfuma dzavo nekuti ndimo munobva kutenda kwavo. Kana izvozvo zvavarasisa vanenge vasisina chekuzemberana nacho.
ZEFANIA 1:18 "Sirveri yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJEHOVA;
Kana Mwenga akabva panyika pakukwira kudenga mukubwaira kweziso kuparadzwa kunorwadza kwakaipakunouya kuzotonga panyika.
DANIERI 9:27 ... zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."
Mwari anoshandisa nguva yeKutambudzika kurwadzisa nyika.
Mweya Mutsvene ndihwo hupenyu kana hupenyu hukabva panoenda Mwenga, rufu runobva rwapindira. Rufu kungori kushaikwa kwehupenyu.
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Nevanoenda kuCatholic 1.3 biriyoni nevemasangano 0,9 biriyoni, kota yehuwandu hwevanhu vari pasi rese vanoenda kumakereke. Ndivo vakatariswa naDiaborosi zvakanyanya paanopinda muna Pope waantikristu wekupedzisira.
Evangeri rinobva raenda kuMaJuda.
Kana Mwenga akakwira Kudenga, Satani anokandirwa pasi. Mikaere ndiKristu paanotora mufananidzo weMutumwa Mukuru.
55-0109 KUVAMBA NEKUPEDZISWA KWEKUGOVERWA KWEVAHEDENI
Mikaere ndiye Kristu, ndizvo chaizvo.
ZVAKAZARURWA 12:7 Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa inavatumwa vayo;
8 vakasakunda, nenzvimbo yavo hainakuzowanikwa kudenga.
9 Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.
NaSatani adzingirwa pasi panyika, Nguva yeKutambudzika inobva yatanga.
ZVAKAZARURWA 12:1 Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;
MaJuda. Vakamira paMurairo vakafukidzwa nenyasha dzaMwari. Marudzi gumi nemaviri avaIsraeri.
ZVAKAZARURWA 12:2 Iye wakanga anemimba, akadanidzira pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.
Israeri senyika, yaifanira kuunza Jesu saMessiasi. Asi mugore 63 BC Roma yakatapa Israeri. Hutsinye hweRoma nechipegani zvaive zvombo zvaSatani, chikara chikuru chekudeura ropa pamweya. MaRoma akatora simba nekuuraya vapikisi. Aya aive marwadzoekuda kuzvara akauya Jesu asati azvarwa.
ZVAKAZARURWA 12:3 Kudenga kwakavonekwa chimwe chiratidzo ichi: Tarira, shato huru tsvuku inemisoro minomwe, nenyanga dzinegumi, napamisoro yayo korona nomwe.
Misoro minomwe inomiririra makomo manomwe aive akavakirwa Roma pakutanga, kwakatangira Roma.
ZVAKAZARURWA 17:9 Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi.
Izvi zvinotaura huvepo hwekereke yeRoman Catholic munguva nomwe dzese dzemakereke iri antikristu muvengi wechokwadi. Nyanga gumi dzinomiririra vadzvanyiriri gumi vanopa simba ravo rezvematongerwo enyika kuna Pope wekupedzisira pamagumo kuti Pope agone kutonga pasi rese.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
Simba seremadzimambo zvinoreva kuti vadzvanyiriri vane simba remadzimambo asi havana kugadzwa.
13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
Korona nomwe dzinomiririra mhuri yekutanga yehudzvanyiriri yakatonga Roma. Nhengo dzemhuri iyi dzakavamba Hushe hweRoma. Jurio Kesari, aivewo Pontiff weBabironi kana Muprista mukuru wezvakavanzika zvavo, vakaparadza Hushe hweRoma kuti vave vadzvanyiriri. Augustus, muzukuru wake mukuru, akaita mubati uye mudzvanyiriri nekuita kuti Seneta amuterere asi iye achiita seari kuwana mazano kubva kwavari. Tiberio aive Mubati pakauraiwa Jesu. Saka akauraya Chokwadi. Carigura akati anoda knamatwa saMwari. Kiraudhi akaroora akaramba mukadzi akaroora zvakare kusvika atora Nero aive akaipa kumuita Mwana wake Nero akazotanga kuuraya maKristu mugore 64 AD. Nero aive mubati akasunga Johane pachitsuwa chePatimosi.
ZVAKAZARURWA 17:10 Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, [Kesari, Augusto, Tiberio, Karigura, kiraudhio] mumwe uripo [Nero], mumwe ugere kusvika; kana achisvika [mukuru wemauto Garibha], unofanira kugara chinguva chiduku [Mwedzi minomwe].
Pakupedzisira mukuru wemauto ekuSpain Garibha akagumisa rudzi urwu rwevatongi nekupamba chinzvimbo chemubati kwemwedzi minomwe asati aurayiwa. Nero paakazviuraya mugore 68 AD, Johane akasunungurwa kubva mutorongo. Domitian paakaita mubati muna 81 AD Johane akazosungwazve paPatimosi. Akazosunungurwa mugore 96 AD pakaurayiwa Domitian.
Kutsiviwa kwenhengo dzemhuri yekutanga yevaRoma uku kwakatora mufananidzo wepasi rese kukagadza nzira inoteverwa nekereke yeRoman Catholic umo utsiviwa kwemaPope kunonzi kune kiyi yeDenga. Makiyi akapihwa kuna Petro. MaPope anoti sezvo vachitsiva Petro, ndivo vanotonga kuti anopinda Denga ndiyani. Mugore 1302 AD Pope akazivisa kuti kwaive kusina ruponeso kunze kwekereke yeRoman Catholic.
Marudzi evatorwa pavakaparadza Hushe hwenyika yeRoma kereke yeRoma yakasimuka mumatongo ehushe uhu. Kutsiviwa kwemaPope kwakatora chinzvimbo chekuBabironi chaPontiff vakauraya makumi emamiriyoni emaKristu muNguva dzeRima. Vakaparadza Bhaibheri muNguva dzeRima kusvika kwasara mashoma kwazvo. Bhaibheri ndiKristu muShoko. Pakupedzisira munhu wekunze, Antikristu, achatora nechisimba chinzvimbo chaPope pakupedzisira, achiti anoda kunamatwa saMwari, paanenge agere mutembere yake muVatican.
DANIERI 11:21 "Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Rukudzo rwechinzvimbo chaPope runopuhwa kuna Kadhinari nemamwe maKadhinari vanomutsigira kana kumusarudza. Asi Pope waantikristu wekupedzisira, munhu akachenjeresa, neimwe nzira achatora simba nechisimba achizviti “munhu werugare”. Ichave nguva yakaipisisa kwazvo yekushungurudzika, mhirizhonga, nekuparara kwehupfumi. Nemasimba emauto evadzvanyiriri gumi, iye ega anogona kudzorera rugare panyika.
Danieri anoronda nhorondo yemweya wemhirizhonga weRoma yechipegani wakapinda mukereke yeRoman Catholic yozosvika pakukura kwayo munguva yeKutambudzika kukuru apo Pope waAntikristu anosangana nemaJuda. Anoita sungano navo kuti ave nesimba mumari dzavo dzemusika wemari wepasi rese kuti atonge zvemari pasi rese. Anobva aputsa sungano iyoyo kuti avaronde avauraye kuti asazoripira pakare mari dzavo.
ZVAKAZARURWA 12:4 Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.
Maraki aive muprofita wekupedzisira kuvaIsraeri. Mudzidzi uye muDzidzisi weBhaibheri Scofield akaisa zuva rake pagore 397 BC.
Saka kwemakore anodarika 400 maJuda vaive vasina muprofita uye Satani, sechikara chikuru, akakwanisa kuzvuzvurudza maJuda achivabvisa pakunamata Mwari nekuti vakanyanya kuita nezvehunyengeri hwezvechitendero, zvematongerwo enyika, zvekuita mari. Vakadzoka kubva muhutapwa kuBabironi yechipegani vari pasi pekurudziro dzemapoka asimo muMagwaro akaita sevaFarise neva Sadduse nana Rabi. Vakatanga maSinagoge asina kubvira ataurwa naMosesi mugumi remitemo. Masinagoge akabatwa nevaFarise nanaRabi vakazogona kutonga mafungiro emaJuda. MaJuda akazopinda musimba rezvematongerwo enyika yeRoma yechipegani. Izvi zvakavaita kuti vade mununuri wezvematongerwo enyika kuti avasunungure kubva kuRoma. Antipata, baba vaHerode, vakabatsira Jurio Kesari akazoita Antipata mubati weJudea. Roma yakabva yasarudza Herode kuti ave mambo wemaJuda kunyange zvake aive asiri muJuda sezvo aibva nyika yeIdumea.
Johane Mubapatidzi akatsanangura vatungamiri vemaJuda senyoka dzine hukasha.
MATEO 3:7 Asi wakati achivona vazhinji vavaFarise navaSadhuse vachivuya kuzobapatidzwa naye, akati kwavari vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
VaFarise, vaive vatungamiri vemaJuda, vaida kwazvo kuparadza Jesu aive Shoko.
MATEO 12:14 Zvino vaFarise vakabuda, vakarangana pamusoro pake kuti vangamuvuraya sei.
Nyeredzi dzinomiririra vatumwa Kudenga.
GENESISI 15:5 Akamubudisa panze akati, "Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga." Akati kwaari, "Ndizvo zvichaita vana vako."
MaJuda vaive vana vaAbrahama vekubereka. Asi maHedeni akazvarwa patsva nevaSamaria vanova vana vaAbrahama vemweya kupfurikidza kutenda muMwanakomana waAbrahama mukuru, Jesu Kristu.
Mwari anoona rudzi rwevanhu mumapoka matatu. Kwete mapoka anotariswa nekuda kwekukura kwawo, asi mapoka anotariswa rudzi rwevanhu.
VaHedeni, maJuda, nevaSamaria ava musanganiswa wemaJuda nevaHedeni.
Saka chetatu chenyeredzi dzedenga vaive maJuda panguva yeCalvari.
Hunyengeri muzvitendero zvechiJuda zvakasanganiswa nesimba rezvematongerwo enyika muRoma yaive njodzi kumaJuda. Kunyanya pakarohwa vanhu muTembere naJesu musi weMuvhuro. Vakauraya Jesu mazuva matatu akazotevera musi weChina.
Musafe makaisa mari yemutungamiri wekereke kana wezvechitendero panjodzi. Havagutsikani.
“Ruminda” muchiratidzo ndirwo “nyaya” kana “ngano”inotaurwa naSatani kumaJuda kuti vauraye Messiasi wavo saka vanobva vatsvairwa muBhuku rehupenyu. Izvi ndizvo zvakaitika kumaJuda ese vakadanidzira kuti Jesu avurawe vakaramba kugamuchira Evangeri renyasha rakaparidzwa nemupostora.
54-0516 MIBVUNZO NEMHINDURO MURAIRO UINE MUMVURI
Rumhinda rwake rwakatsvaira chetatu chedenga, rukachikandira panyika ...
Munoziva here kuti chaive chii? Zvino ruminda rwake rwaive rusina kuita seforoko sezvavanoti ndizvo zvakaita Diaborosi.
Yaive nyaya, nhema dzaakataura.
Pamweya maJuda vaive vakazadzwa nerudo rwekusununguka munezvematongerwo enyika zvekuti Satani akagona kuvanyegera kuti vafunge kuti Messiasi achava mutungamiri wezvematongerwo enyika kuti vakurire vavengi vavo. Vaifunga chete pamusoro pemutungamiri wepanyika pano aizounza magarikwa epasi pano. Vakarasikirwa nemuono wemweya wekuona Messiasi wedenga aizovasunungura kuzvivi zvavo.
Nyoka yaive mucherechedzo waive pamureza wemauto eRoma. Ipapo muvengi mukuru Roma, sechikara chikuru, yakatapa Israeri mugore 63 BC kuti vagadzirire kuparadza Jesu paaizozvarwa. Herode, mambo wenhema asiri muJuda akapihwa simba neRoma, akauraya vana vese vaive pasi pemakore maviri kuti vagone kubata Jesu. Satani akabva agadza Kefasi muPrista mukuru wechiJuda nemubati weRoma Pirato kuti vaputse mirairo yavo yese nekuuraya Jesu. Chavaingoda ndechekuti Satani apinde muna Judasi kuti kumukira kuzadziswe.
RUKA 22:3 Zvino Satani wakapinda kuna Judhasi
Nyeredzi mucherechedzo wevana vaAbrahama vose veMweya nevenyama.
GENESISI 15:5 Akamubudisa panze akati, "Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga." Akati kwaari, "Ndizvo zvichaita vana vako."
Nyeredzi hadzigoni kuverengwa. Dzakawandisa hadziverengeke. Izvi zvinoreva kuti vatsvene vechokwadi vakazvarwa patsva havagoni kutora chiratidzo chechikara kana kuti chiverengo chezita rake, 666.
ZVAKAZARURWA 13:16 Chinomanikidza vose, vaduku navakuru, vafumi navarombo, vakasununguka navaranda, kuti vapiwe chiratidzo muruvoko rwavo rworudyi, kana pahuma yavo;
Muhuma dzenyu ndimo munobatira njere dzenyu. Munosukurudzwa njere kuti mutende tsika dzekereke dzisimo muMagwaro. Kubata kwemaoko enyu kunenge kwava pasi penjere dzenyu. Munoita vanhu vanoenda kukereke vanoda kereke yavo kudarika Bhaibheri.
ZVAKAZARURWA 13:17 kuti munhu arege kuvapo unogona kutenga nokutengesa, asi iye unechiratidzo, iro zita rechikara kana chiverengo chezita racho.
Izvi zvinoreva kuti Pope wekupedzisira ane simba rakazara munezvemari yepasi rese. Munomanikidzwa kuita nhengo dzeKereke Imwechete yepasi rese inenge yakagadzwa naPope wekupedzisira. Munofanira kukotamira zvitendero zvake zvaanotenda mazviri. Anotonga mafungiro enyu. Uku kutapwa njere.
Izvi zvinogoneka chete kana Pope agona kuita sungano nemaJuda kuti atore mari dzavo dzese dzavakachengetesa Mumusika weMari. Nekuti maJuda anotonga Musika weMari wepasi rese.
ZVAKAZARURWA 13:18 Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
(Score) siko ndicho chiverengo makumi maviri.
Ichi ndicho chiratidzo chechikara chinotyisa. Vanhu vanenge vachifanira kuvimbika kuKereke Imwe neHurumende Imwe yepasi rese kana kufa.
1965 KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE. CHITSAUKO 10
Neboka remakereke repasi rese riri pasi payo, Roma inenge ichitonga, uye mufananidzo uyu (kereke) ichaterera Roma nekuti Roma ndiyo inotonga ndarama kana goridhe repasi rese.
Saka vanhu vese vanenge vachifanira kuva vekereke yepasi rese kana pasi petsitsi dzevarimo nekuti havagoni kutenga kana kutengesa pasina chiratidzo chechikara paruoko kana mumusoro. Chiratidzo ichi mumusoro chinoreva kuti munofanira kutevera dzidziso dzekereke yepasi rese yetiriniti, nedzimwe dzakadaro. Chiratidzo muruoko chinoreva kuita mabasa anodiwa nekereke yepasi rese. Nesimba guru iri kereke ichauraya mwenga wechokwadi. Mufananidzo uyu uchaedza kudzivisa Mwenga kubva pakuparidza nekudzidzisa nezvimwe zvakadaro. Vaparidzi vacharambidzwa kunyaradza nekuudza chokwadi kuvanhu vanoda havo.
ZVAKAZARURWA 12:5 Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe.
Israeri yakabereka Jesu. Munguva inouya achatonga nyika dzese netsvimbo yedare munguva yeMereniyamu.
Izvi zvinoreva kuti vanhu vazhinji vasina kuponeswa vachapinda muMereniyamu.
Ikoko vanofanira kuita zvavanenge vaudzwa kuti vaite.
Ndiro gwara rekutanga richapunyuka naro vanhu vazhinji vanobva mumarudzi evaHedeni kubva kuAmagedhoni.
Kutonga marudzi “ose” muMereniyamu “netsvimbo yedare” hunhu hwakanaka kwazvo. Marudzi mazhinji asiri vatsvene vakazvarwa patsva.
Jesu aive nemakore 33 paakafa. Akabva amuka kubva kumakuva akakwira Kudenga .
Kubva pakuzvarwa kwaIsaka kusvika pakufa kwaJesu paive nemakore 2300 echiJuda. Abrahama, muHeberu, aitevera Mwari kwemakore 25 pakazozvarwa Isaka.
Saka rudzi rwemaJuda, kubva pakudanwa kwaAbrahama, aive makore anenge 2325 echiJuda pakafa Jesu. Saka Jesu paaive nemakore 33 aive achiri mwana kana zvichienzaniswa nemakore ese akabata Mwari pakati pemaJuda.
ZVAKAZARURWA 12:6 Mukadzi akatizira kurenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuchengetepo mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Kubva ipapo Israeri yaive murenje rekurwadziswa nekurovererwa. MaJuda anodarika miriyoni rimwechete akafa mugore AD 70 maRoma paakaparadza Tembere. Vanhu vanodarika hafu yemiriyoni vakafa muna AD 135 pavakamukira Roma. Renje raive mucherechedzo wekuti maJuda vaisadiwa pakati pemamwe marudzi. Makore anenge 2000 ekurovererwa nekurwadziswa vakapararira nekudzokera kwavo kuIsraeri mukati mehondo zhinji nekurwa.
Mazuva 1260 ndiko kureba kwenguva yeKutambudzika. Makore matatu nehafu. Maprofita maviri Mosesi naErija, vachapa maJuda kudya weTestamente Itsva Evangeri rechokwadi.
Asi izvi zvese zvinoitika murenje remweya sezvo maJuda akaparadzirwa Tembere yavo yaive nheyo yekutenda kwavo.
ZVAKAZARURWA 12:9 Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.
ZVAKAZARURWA 12:13 Shato yakati yavona kuti yakandirwa pasi panyika, ikatambudza mukadzi wakazvara mwana womukomana.
Satani paanodzingwa Kudenga, anonangana nemaJuda.
Mwenga paanokwira kudenga, Satani anoburuka panyika.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Zvino, tarirai panguva yekupedzisira – pakuguma kwenguva dzemakereke, zvino, iye nevana vake vanodaidzwa kuti antikristu, ‘nekuti chero chinhu chinopikisa Kristu ndicho antikristu. Uye chero chinhu chinopikisa Shoko chinopikisa Kristu, nekuti Kristu ndiye Shoko. Zvino, ndiye antikristu....
Asi kuna Zvakazarurwa 12:7-9, Satani mweya, diaborosi, uri kumusoro uko parizvino, mupomeri wehama dzedu, zvakanaka; kereke inotorwa kukwira kudenga, Satani odzingirwa kunze. Kereke painokwira kudenga, Satani anokandirwa pasi. Satani anobva azviratidza muna antikristu achidaidzwa kuti chikara.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Tarirai, vaNikoraiti, dzidziso dzaantikristu dzakatanga mumazuva aPauro dzichipikisa Shoko raMwari: antikristu. Zvino anodaidzwa zvakare kuti muprofita wenhema, nekuti kana dzidziso ikava munhu, aive muprofita kudzidziso dzezvigaro nezvidanho zvazvo mukereke yeCatholic. Pope aive muprofita kuShoko renhema, izvi zvakamuita muprofita wenhema.
Danho retatu chikara, munhu akagadzwa mumazuva ekupedzisira nesimba rese raive neRoma yechipegani, nekuti chikara chaive nemisoro minomwe, nyoka, yakadzingirwa kunze kwedenga akauya achizviratidzira mumuprofita wenhema. Ndizvozvo; ane korona nomwe, akadzingirwa kunze akakandirwa panyika nemugungwa. Zvakanaka.
Tiri kuti kudii? Mutasvi uyu ndiyani, mutasvi webhiza iri? Munoziva kuti chii? Munhu waSatani akapiwa simba
ZVAKAZARURWA 16:13 Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;
14 Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose.
Chishamiso chiri kuitwa naDiaborosi nhasi kubatanidza makereke.
Mwari anosimudza maprofita maviri kuti vapikise tiriniti yeshato, chikara, nemuprofita wenhema mweya mitatu iri mumunhu mumwechete, Pope wekupedzisira. Asi musikana akanyengerwa kana kuti vasikana mapenzi vanotenda kuTiriniti vari munguva yeKutambudzika vanodaidza Mosesi naErija kuti chikara uye kuti muprofita wenhema sezvo vanenge vachifunga kwazvo kuti mweya miviri inofanira kuva muvanhu vaviri vakasiyana.
ZVAKAZARURWA 12:14 Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka.
Muzvezve wenyoka ndiko kutsiviwa kwemaPope.
Pope aivepo. Haachipo sezvo akafa. Achazovapo panosarudzwa Pope mutsva. MaPope ndiwo anoita mutsetse mukurusa wevatongi. Chiso chenyoka ndiye Pope wekupedzisira, Petro weChipiri. Munhu akagarwa naSatani.
EKSODO 4:2 JEHOVA akati kwaari, "Chiiko icho chiri muruoko rwako?" Akati, "Itsvimbo."
EKSODO 4:3 Akati, "Ikandire pasi." Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mosesi akaitiza.
Nyoka chaive chinhu chinotyisa.
EKSODO 4:4 Zvino JEHOVA akati kuna Mosesi, "Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);
Mosesi akadzidza kushanda nerumhinda (nyaya kana ngano) rwenyoka.
Munguva yeKutambudzika achasangana naPope wekupedzisira wechikara. Pope wekupedzisira achange ari mweya waSatani.
Maprofita makuru maviri vachachengetedza maJuda. Vakamiririrwa nemapapiro makuru maviri enguva yegondo. Chikara chechina chakapoteredza chigaro chehushe.
Nguva igore. Nguva (muhuzhinji) makore maviri. Hafu yenguva ihafu yegore. Saka makore matatu nehafu maprofita maviri anorwisa mweya waPope waantikristu nemasimba ake akaipa.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Tarirai, mutasvi uyu aive asiri umwe kunze kwemunhu waSatani, Diaborosi anoratidzwa panyama. Inyanzvi yakadzidza... ane murawo wezivo; naSataniwo. Anoedza kutengesa zivo yake. Akatengesera Eva; akatengesera isu. Taida kwazvo munhu ane simba pamusoro pedu; pasi rese rinoda munhu ane simba uyu; takamupihwa. Zvakanaka. Pasi rese rinoda munhu ane simba; richamuwana. Mirirai kusvikira kereke yakwira kudenga, Satani adzingirwa panyika. Achazviratidza semunhu. Ndizvo chaizvo. Vanoda munhu anogona kuita basa iri zvechokwadi; achariita.
ZVAKAZARURWA 12:15 Ipapo nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo, yakaita sorwizi shure kwomukadzi kuti akukurwe norwizi.
Mvura inotaura pamusoro pedzidziso kana kuti vanhu. Diaborosi anosarudza kushandisa ruzhinji. Ruzhinji rwevanhu neruzhinji rwezvitendero kuti anyudze maJuda.
ZVAKAZARURWA 12:16 Ipapo nyika yakabatsira mukadzi, nyika ikashamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa neshato mumuromo mayo.
Asi maprofita maviri anogona kushandura mamiriro ezvinhu panyika. Vanogona kuita kudengenyeka kwenyika nekuzarura nyika kuti imedze ruzhinji rwevanhu rusina kugadzikika.
MaJuda vane matambudziko maviri pakutenda kwavanako nhasi.
Kutenda kwavo kweTestamente Yekare kwaibva panheyo dzeTembere nekupira kwavo kwakaparadzwa.
Vakakumbirawo kusunungurwa kwemhondi nerufu rweMunhu asina mhosva Messiasi wavo.
MATEO 27:20 VaPirisita vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Barabasi, Jesu avurawe.
21 Mubati akapindura akati kwavari, munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri? Vakati, Bharabhasi.
Vachitaura nezvaJesu maJuda ese akati:
MATEO 27:25 Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu
MaJuda havana nzira yakatsarukana yekunamata vasina Tembere yavo nezvipiriso zvayo.
Vakaita sungano yekuti vawane rufu rwemunhu asina mhaka. Chitadzo chikuru ichi chaizotongerwawo pavana vavo vanova zvibereko zvavo.
Saka maJuda asina mhosva vanofanira kufira kutenda kwavo nekuti hakuchina zvipiriso zvinogona kupirwa pachinzvimbo chavo.
Saka sungano yakaipa yakaitwa. MaJuda anofanira kutenda muTestamente Yekare nepese pavanogona napo pasina Tembere vobva vapira hupenyu hwavo nekuurayirwa kutenda kwavo kuti vapinde Denga.
Ndicho chikonzero nei vakashingirira kurarama makore 2000 ekuurayiwa nekurwadziswa kukuru.
Nei Mwari akavatendera kuponeswa nenzira iyi?
Nekuti Mwari akavapofomadza kuEvangeri.
VAROMA 11:7 Zvino tichatiyiko? VaIsraeri havana kuwana zvavakanga vachitsvaka, asi vakasanangurwa ndivo vakazviwana; vamwe vakawomeswa,
Mwari akapofomadza maJuda kuti agone kutendeukira kuvaHedeni vakasarudzwa. Saka Mwari anopa maJuda mukana chero vachiramba Messiasi wavo. Asi vanoripira nehupenyu hwavo.
VAROMA 11:8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope; meso, kuti varege kuvona, nenzeve, kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi.
VAROMA 11:10 Meso avo ngaasvibirwe, varege kuvona; Mukotamise musana yavo misi yose.
Nekuti Mwari akapofomadza maJuda, anovatendera kupinda Denga nenzira yakati siyanei.
Vanofanira kuteerera Testamente Yekare nepese pavanogona napo pasina zvipiriso zvemuTembere, vanofanira kufa sechipo chekuripira zvivi zvavo.
ZVAKAZARURWA 6:9 Wakati azarura chisimbiso chechishanu, ndikavona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vavurawa nokuda kweshoko raMwari, nokupupura kwavo kwavakapupura;
Aya maJuda vakaurayiwa munguva nomwe dzemakereke. Vaitenda muTestamente Itsva seShoko raMwari asi vakanga vasisina Tembere. Paseka inogona chete kupirwa kutembere iri muJerusarema. Saka hakuna chipiriso chinogona kupirwa pachinzvimbo chavo.
Vaifanira kusimbisa kupupura kwavo murufu rwavo.
Havana kuwana kupupura kwaJesu akatifira, kuti isu tisazofiri zvivi zvedu tega.
DEUTERONOMIO 16:5 "Haufaniri kubayira Pasika mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJEHOVA Mwari wako;
6 Asi panzvimbo ichatsaurwa naJEHOVA Mwari wako, kuti agarise zita rakepo, ndipo paunofanira kubayira Pasika madekwana, kana zuva rovira, panguva yawakabuda nayo Ijipiti.
Jerusarema ndiro guta rakasarudzwa naMwari akaisa zita rakepo.
Chinangwa chikuru chaPope waantikristu munguva yeKutambudzika kuita muzinda wake muJerusarema, kuti atevedzere Mwari.
I MADZIMAMBO 11:36 Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.
Paseka inogona chete kupirwa muJerusarema, kwakafira Jesu akava Gwaiana redu rePaseka.
ZVAKAZARURWA 6:10 Vakadana nenzwi guru vachiti: Tenzi mutsvene wazvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokuvatsiva ropa redu kusvikira riniko?
Kana vatsvene vapedza kukwira Kudenga. Mwenga anenge akudenga. MaJuda akafira Shoko vanenge voda kudzokera panyika kunotsiva mweya yeRoma yehumhondi neimwe mweya yakavauraya mumasenturi akasiyana siyana. MaJuda anotenderwa kutsiva. “Ziso neziso zino nezino.
EKSODO 21:25 Ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka,
MaKristu anonamata “Baba varegererei, havazivi izvo vanoita.”
ZVAKAZARURWA 6:11 Ipapo mumwe nomumwe wavo wakapiwa nguvo chena; vakavudzwa kuti vambozorora chinguva chiduku, kusvikira vamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo, dzaifanira kuvurawa saivo, varinganiswa vose.
Saka maJuda akaurayiwa munguva dzemakereke vanopihwa nguvo chena kuti vashonge. MaJuda varanda vaMwari. Vatendi vechokwadi veTestamente Itsva ndivo Mwenga waMwari.
Asi vanoudzwa kuti vamirire. Nguva yekutambudzika inenge ichipisa saka vanofanira kumirira vamwe vavo maJuda varanda pamwe navo, naJuda 144,000 vanobva vaurayiwawo.
Iri ndiro gwara rekuti maJuda anourayiwa munguva yeKutambudzika.
MaJuda anopihwa nguvo chena dzekururama.
Kereke yevaHedeni, nekutenda muna Jesu, vanogamuchira kururama sechipo kubva kunaMwari.
VAROMA 5:17 Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata vushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata vushe pavupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.
VAROMA 10:10 Nokuti munhu unotenda nomoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.
Chisimbiso chchitanhatu chinobva chatipa gwara renguva yeKutambudzika rinotsanangura kukanganiswa kwemamiriro ezvinhu kwakazara.
ZVAKAZARURWA 6:12 Zvino ndakavona pakuzarura kwake chisimbiso chechitanhatu, tarira kwakanga kunokudengenyeka kwenyika kukuru, zuva rikasviba segudza remvere, mwedzi wose ukaita seropa;
Chinhu chinotyisa. Nguva yeKutambudzika inozarurwa nekudengenyeka kwenyika kukuru.
65-1207 HUTUNGAMIRIRI
Tarirai pano! Munoziva here zvakataurwa naShe pamusoro peLos Angeles nenzvimbo idzi dziri pano? “Akaenda!” muchiri kurangarira zvandakakuudzai, makore enenge maviri akadarika, kuti kudengenyeka kwenyika ikoko kuchauya sei muCanada kuno kumusoro muAlaska? Ndinokuudzai zvakare kuti “Hollywood neLos Angeles dzichatsvedza kupinda mugungwa. California uri kuparara, uri kuparara! Kwete California chete; asi iwe, pasi rese, uri kuparara!” NDIZVO ZVINOTAURA MWEYA MUTSVENE.
Kukanganisika kweSan Andreas pakwakabereka kudengenyeka kwenyika kukuru kunoparadza hupfumi hweCalifornia kworemadza United States.
Jesu akati, “Kapenaume, Capenaume, kangani ... iwe unozvisimudzira, pachinzvimbo, Kudenga, uchaderedzwa kukandirwa kuGehena. Nekuti dai mabasa makuru akaitwa mauri akaitwa muSodoma, ingadai ichimire nanhasi.” makore anenge mazana mashanu kubva ipapo, (Sodoma aive yatomedzwa, iri pasi penyika) Kapenaume iri mumvura, zvakare, nhasi uno.
Hama Branham vakabva vatsanangura nzvimbo yekakanganiswa (iri kuratidzwa mumutsetse weruvara rutsvuku) unoitwa nechikamu chemuganhu wetekitoniki Pasifiki pureti. Pasifiki pureti inofamba kuenda kumusoro zvakafanana nepureti yeNorth America. Kufamba uku kuri kuvaka kumanikidza kumahombekombe ekumadokero kweAmerica.
Nzvimbo dziri muruvara rwegirini dzinoratidza kusimuka kukuru kune simba kuri pakati pegungwa nepureti yepasifiki iri pamuganhu wekukanganisa.
Mutsetse wekukanganisika kwezvinhu unofamba pamusoro pegungwa padyo neSan Diego kuzasi kweSan Jose iri kumusoro. Mutsetse uyu wenyika unozivikanwa nezita rekuti San Andreas.
65-0725 VAKAZODZWA MUNGUVA DZEKUPEDZISIRA
Sekutaura kwevanhu vesainzi rimwe remazuva, pachivhiti vhiti, vachitaura pamusoro pezviuru zvikuru zvemamaira achatsemuka panyika nekunyudza. Akabvunzwa mubvunzo, “Zvinogona kunyura apo here?” Ndiyo Los Angeles, mahombekombe ekumadokero. Vakawanda venyu munoona kutu vanozvitevera sei, vachikwidza ... vachipaza nemuSan Jose, vachiyambuka kupinda muAlaska, vobuda nemuchitsuwa cheAleutian, mamaira anoda kuita mazana maviri kubva mugungwa, kudzoka kupinda muSan Diego, nekupoterera nekuseri kweLos Angeles, zvokwidza kumusoro, nhava huru chaiyo.
65-0711 KUNYADZISWA
Pandakanzwisisa izvozvo, ndakaenda, ndikati, “kune Gwaro pamusoro paizvozvo ririko”. Ndakaenda ndikariwana aive Jesu achirayira Kapenaume ari pamahombekombe egungwa. Husiku ihwohwo ndakatarisa magwaro ndikatora bhuku renhorondo; Sodhoma neGomora raive Guta raibudirira kwazvo, muzinda wevaHedeni pasi rese. Munoziva, guta iroro, nekudengenyeka kwenyika, rakanyura muGungwa Rakafa (Dead Sea). Jesu akamira, akati, Kapenaume, dai Sodoma rakaitirwa mabasa akaitirwa mauri, ringadai rimire nhasi uno. Asi nhasi unofanira kudzikiswa kuenda kuGehena!” Makore anenge mazana maviri kana matatu mushure mechiprofita chake, nemaguta ese emahombekombe, rimwe nerimwe rawo richiriko kunze kweKapenaume, riri pasi pengugwa. Kudengenyeka kwenyika kwakarinyudza mugungwa.
65-0711 KUNYADZISWA
Zvino ndinoprofita, “Los Angeles ichave pasi pegungwa.” ndakadzoka kumba ndikaenda kuAfrica. Pandaive muAfrica, kwakaitika kudengenyeka kwenyika. Vesainzi, .... muri kuzviona, zvaive munhepfenyuro, kuti muLos Angeles, nehotera, nezvimwe zvakadaro. Zvino kune ...
Kubva pakudengenyeka kwenyika ikoko, kune mutswe wakakura mainjisi maviri kana matatu unopinda munyika unotangira muAlaska, wotenderera nekuchitsuwa cheAleutia, wobuda kuita mamaira zana nemakumi mashanu kana mazana maviri mugungwa, wodzoka paSan Diego; wopinda muCalifonia, kana Los Angeles, wobuda zvakare kumusoro kweCalifornia, kukanzvimbo kanonzi San Jose, kuzasi kwacho.
Munhu wezvesainzi uyu aitaura, achitapwa. Taiona pachivhitivhiti. Akati, “Pasi pacho pane bota rechikwatamabwe.” akataura kuti, akati, “chidimbu chichatsemuka,” akati, “zvichaita sekudari.” izvi- ...
Munhu, wezvesainzi aitapa nyanzi yezvesainzi iyi, akati kwaari, akati, “Zvakanaka zvese zvinogona kubva zvanyura?”
Akati, “Zvakanaka, chokwadi, zvinogona kutora makore mazhinji zhinji kubva izvozvi.”
Akati, “Zvinogona kuitika mumaminetsi mashanu kubva izvozvi, kana kuti makore mashanu kubva izvozvi.” akangofungira makore mashanu.
Asi ndaive ndimire ipapo mukurudziro yekuiswa kwemutongo kuChitsuwa chekumadokero, ndikatevera nekunyura kweLos Angeles, anenge aenda! Ndizvozvo chaizvo. Zvichaitika. Riini? Handizivi.
Asi, Oh, chii chakaitika? Munoziva, tingori nemakontinenti matanhatu chete izvozvi. Taive nemanomwe, imwe ikanyura pakati peAfrica neUnited States. Oh, zviri munhorondo, munozviziva. Zvino, kana zvikaitika, ndinoda kuti mugoona ...
Iyi yaive mharidzo yandakaparidza nezvayo, ndinotenda, Hama Elij’ Perry vanofanira kuva vaive mudhikoni pano pakereke panguva iyoyo, ndizvo zvandinoziva. Asi yaiti, “Nguva ichauya ...” Handina kuzviziva kusvikira Mai Simpson pavakandivigira mharidzo iyoyo rimwe zuva. Ndikaita kuti inyorwe pasi mubhuku duku, kuti renje raive ...” Gungwa richatsvaira renje.” Apa aive makore makumi matatu akadarika.
Chokwadi, Gungwa reSalton riri pakaderera chinhambwe mamaira mazana maviri pasi pechidanho chegungwa, kana kukukurwa kukuru uku, kumedzwa kwenyika kwakadaro, kune mazana emasikweya maira anonyura pasi penyika, zvichakandira dutu rinoparadza kuArizona. Chokwadi, zvichaitika.
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO (REPUCHA)
Mweya mumwechete iwoyo waMwari wakataura zvinhu izvi, ukaita zvinhu izvi zvose, wakati, “Iwe, guta, Kapenaume, unozvidaidza nezita revatumwa, Los Angeles, uchazvisumudzira kumusoro kudenga! Mudzi iwoyo chigaro chaSatani, mazviona, wakazvisimudzira.”
Vaparidzi, kwavari kumakuva. Vanhu vakanaka vanoenda ikoko vonofa semakonzo. Kuipa kwakadii!
“Imi munozvidaidza nezita revatumwa; Dai mabasa makuru aya akaitwa muSodoma, iwo akaitwa mauri, ringadai rakamira nhasi uno. Asi nguva yako yasvika.”
Tarirai henyu muone. Kana zvikasadaro, ndiri muprofita wenhema. Mazviona? Iro riripo, riripo apo.
65-1204 KUKWIRA KUDENGA MUKUBWAIRA KWEZISO (REPUCHA)
Ndinorangarira, Mharidzo yangu yekupedzisira muCalifornia, kwandaifunga kuti kandidzokere zvakare, pachakafanotaura kuti “Los Angeles ichanyura pasi pegungwa. NDIZVO ZVINOTAURA JEHOVA.” Zvichaitika. Yakapedzwa. Yakagezwa. Yakaparadzwa. Nguva ipi? Handizivi kuti riini, asi richanyudzwa.
65-1126 MABASA KURATIDZWA KWEKUTENDA
Kapenaume, Kapenaume, guta rinodaidzwa nezita revatumwa, “Ndiyo Los Angeles) “Wakazvisimudzira kumusoro kudenga, asi uchadzikiswa kugehena. Nekuti dai mabasa makuru akaitwa mauri akaitwa muSodoma, ringadai rimire nhasi uno.
[Mazwi asina kubatwa paitaurwa: Los Angeles ndiko kwakatangira mutsiridzo yePentekositi mugore 1906]
... mukatarira, mvura ichauya ichirovera mugungwa reSalton. Los Angeles rakatarirwa kutongwa. Ndinokuudzai zvisati zvaitika, kuti muzive pazvichaitika. Handizvitauri nekufunga kwangu. Uye handina kubvira ndaudzwa zvimwe zvinhu kunze kwezvinoitika.
... munoziva, Jesu akati, mumazwi akada kufanana naiwaya, pamusoro peKapenaume; Sodoma neGomora raive-- raive pasi pegungwa rakafa (Dead Sea), ndinofunga kuti ndizvozvo. Kumberi, makore anenge zana akatevera, Kapenaume yakatsvedza ikavira mugungwa, ichiri pasi pegungwa izvozvi. Mwari mumwechete akaisa Sodoma mugungwa nekuda kwezvivi zvaro, ndiye Mwari umwechete achaisa Los Angeles mugungwa nekuda kwezvivi zvaro, guta rehuwori.
65-0718 M KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI HUSIRI HURONGWA HWAMWARI
Mumashure maizvozvo, makore anenge zana kana kudarika, mumashure mekunge Jesu aprofita, Kapenaume, guta rimwechete raive mumahombekombe egungwa raakashanyira, kudengenyeka kwenyika kwakarinyudza mugungwa. Munoziva kuti yaive mhinduro yakanangana neCalifornia, kuLos Angeles.
Los Angeles. Guta revatumwa.
Mugore 1906 nguva yekereke yeRaodikia yakazarurwa nekudururwa kwemutsiridzo yemakore mana muLos Angeles nekudengenyeka kwenyika kukuru muSan Francisco.
Saka kudengenyeka kwenyika muLos Angeles kuchava chiratidzo chakakodzera chekuguma kwekereke yeRaodikia.
KUSARUDZWA KWEMWENGA
Iwe guta, unoti uri guta revatumwa, wakazvisimudzira kumusoro kudenga, ukatumira zvinhu zvese zvakasviba, zvinonyangadza zvefashoni nezvinhu zvakadaro, kusvika chero vedzimwe nyika vauya kwauri vatora kusviba kwako vakaenda nako, kumakereke ako akanaka nemifananidzo yawo nezvimwe zvakadaro, nenzira yaunozviita nayo. Rangarira, rimwe zuva uchange urere pasi pegungwa, mazana enyu ehuchi ari pasi pekodzero dzenyu. Kutsamwa kwaMwari kuri kudzvova izvozvi pasi penyu. Achabata kusvika rini kutsamwa kwaanako? Apo, gungwa rikabuda, rikawedzera kudzika nemaira rimwechete, muchatsvedzera imomo, mowira muGungwa reSalton. Zvichange zvakaipa kudarika zuva rekupedzisira rePompeii. Tendeukai, Los Angeles.
Kudengenyeka kwenyika nemadutu anoparadza zvakatsanangurwa nehama Branham zvichaparadza California.
NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA – BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE. CHITSAUKO. 9
Muchiratidzo chechitanhatu kwakasimuka muAmerica mukadzi akanakisa, ane hutsinye kwazvo. Aive akabata vanhu musimba rake rakazara. Ndinotenda kuti uku kwaive kusimuka kweKereke yeRoman Catholic , chero ndichiziva kuti zvinogoneka kuti chiratidzo ichi anogona kuva mukadzi achisimuka kuva nesimba zvichibva pasarudzo dzeruzhinji rwevanhu kuti America itongwe nemukadzi.
Kereke yeCatholic negore 2019 yaive yaita vanhu 1,4 bhiriyoni. Saka zvinomiririrwa nemukadzi anoyevedza. Kana dambudziko guru rikaitika muCalifornia, nzvimbo yakapfumisisa muAmerica, America inobva yapera simba munezvemari kereke yeRoman Catholic chete ndiyo inenge iine mari yekuita kuti zvinhu zvigadzikike munyika. Asika kereke yeCatholic ichatonga America, izvi zvichamanikidza makereke anoipikisa nekanzuru yawo kuti vabatane nekereke yeCatholic.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Mumashure mekutorwa kwekereke, Roma nemaJuda vachaita sungano pamwechete. Bhaibheri rinoti vachaita saizvozvo, nevanhu vatsvene. Zvino tarirai, vachaiita, nekuda kwei? Nyika iyi ichaparadzwa, nepasi rese vaya vari pahwaro hwendarama kana goridhe vanoparadzwa. Munozviziva. Kana tichirarama nemari inobva pamitero, zvikwereti zvemakore makumi mana kubva parinhasi, tinenge tava papi? Kune chinhu chimwechete chinogona kuitika. Kudaidza vane mari nekuripira zvikwereti ; tinogona kuzviita. Wallstreet ndiyo muridzi wadzo dzese, imwe yese iri muVatican, maJuda ane imwe yese muWall Street nehupfumi hwepasi rese.
NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA – BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE. CHITSAUKO 9
Chiratidzo chekupedzisira chechinomwe ndicho pandakanzwa kuputika kunotyisa. Pandakacheuka kuti ndione handina chandakaona kunze kwematsito, matemhe nechivutsi pachiso chese chenyika yeAmerica.
America ikaparadzwa, maJuda anorasikirwa nekuchengetedzeka kwawo kukuru.
Maprofita maviri ndiwo achamira pakati pavo naAntikristu.
Kana vadzvanyiriri gumi vekupedzisira vakangogadza simba ravo remauto raPope wekupedzisira pasi rese, anenge akuda kuparadza kereke, neAmerica. Kamutemo kekukushandisai nekuzokuparadzai kana apedza nemi ndiwo mashandiro anoita Satani.
Mavhesi ari muChisimbiso cheChitanhatu anotsanangura nguva yeKutambudzika kuri kukanganiswa kwemamiriro ezvinhu panyika.
ZVAKAZARURWA 6:13 Nenyeredzi dzedenga dzikawira pasi, somuvonde unozuza maganga awo, kana uchizununguswa nomututu mukuru.
Mhepo anotaura pamusoro pehondo nematambudziko. Mhepo huru inotaura pamusoro pehondo huru nekutambudzika kukuru. Vaparidzi vane mbiri vakasimudzirwa vevasikana mapenzi nemakereke avo vachaparadzwa panotanga nguva yeKutambudzika. Dzidziso dzavo dzisidzo dzinenge dzisisareve chinhu mukurwadziwa uku nekuipa kwenenguva iyoyo. Ipapo hakuna achagona kuvatarisa.
14 Denga rikabva sebhuku, kana ichipetwa; namakomo ose nezviwi zvose zvakabviswa panzvimbo dzazvo.
Mweya Mutsvene unenge wasiya nyika. Kunenge kusisina kuzarurirwa Magwaro. Bhaibheri rinenge rafanana nezvinyorwa zvakapetwa. Maprofita maviri chete ndivo vachaziva zvinenge zvichiitika.
15 Namadzimambo enyika, navakuru, navatungamiriri vehondo, navafumi, navanesimba, navaranda vose, navakasununguka vose vakandovanda mumapako nomumambwe amakomo;
16 vakati kumakomo nokumabwe: Tiwirei, mutivige pameso aiye unogara pachigaro chovushe, napakutsamwa kweGwaiana;
17 nokuti zuva guru rokutsamwa kwaro rasvika; ndianiko unogona kumira?
Marwadzo enguva huru yeKutambudzika achaita kuti vanhu vazive kuti vakarasiswa.
Asi nguva yekutambudzika ndipo maprofita maviri paanotungamirira maJuda 144,000 achidzokera kunogamuchira Jesu saMessiasi wavo.
ZVAKAZARURWA 11:3 Ndichapa zvapupu zvangu zviviri simba kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva anechuru chinamazana maviri namakumi matanhatu.
Iyi mwedzi makumi mana nemiviri yechiJuda. Makore matatu nehafu.
ZVAKAZARURWA 11:6 Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Zvapupu zviviri izvi ndivanani? Mosesi akashandura mvura kuita ropa Erija akakonzeresa nzara yemakore matatu nehafu.
Mwari akataura naMosesi.
EKSODO 7:17 Zvanzi naJEHOVA, `Uchaziva kuti ndini JEHOVA nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.'
JAKOBO 5:17 Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.
Makore 2000 enhorondo yekereke anogumiswa nekumutswa kwevatsvene vakafa.
I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa munaKristu vachatanga kumuka;
17 zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.
Kereke yechokwadi yemaKristu akamutswa nemaKristu anorarama painotorwa kukwira Kudenga paKuuya kwaShe Jesu, (kunonyanya kudaidzwa kuti Repucha) Mwari anobva atendeukira kumaJuda.
Panguva iyi nyika inopinda munguva yeKutambudzika kukuru apo pasi rese rinodurura ruvengo rwaro pamusoro paIsraeri.
DANIERI 12:1 "Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
Asi Messiasi aida kusangana nemaJuda muIsraeri. Saka Mwari ane zano.
NUMERI 10:1 Zvino JEHOVA akataura naMozisi, akati.
2 "Uzviitire hwamanda mbiri dzesirivha; unofanira kudziita nesirivha yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukubatsira kudana ungano nokuraira kuti mapoka afambe.
Hwamanda mbiri dzinodana ungano yemaJuda.
Mwari achashandisa maprofita maviri kudaidza maJuda kuti vadzoke vaungane muIsraeri.
Saka Mwari achatumira maprofita maviri, Mosesi naErija, nemasimba makuru ekuti vachengetedze vaIsraeri kubva pakurwiswa naAntikristu anosimuka semutungamiri wezvechitendero otora kereke nezvese zvainazvo nehupfumi hwayo.
Rangarirai Judasi. Mutungamiri wekereke kana mupostora aibata nhava yemari. Ndipo panopinda naSatani.
Antikristu anowananawo simba rezvemauto kubva kuvadzvanyiriri gumi vanobatana vari pasi pake.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
“Simba seremadzimambo”. Havana kugadzwa kuita madzimambo asi vane simba seremadzimambo. Ava vadzvanyiriri.
“Nguva Imwe” inguva duku yemakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika.
ZVAKAZARURWA 17:13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
Simba ravo rezvematongerwo enyika nehunyanzvi hwavo.
Antikristu kana kuti chikara anova mutungamiriri wezvematongerwo enyika wehurumende imwechete yepasi rese. Anotsvaga kubvisa hupikisi hwese anovawo mutungamiri wezvechitendero weKereke Imwechete yePasi rese ari muprofita mumwechete wenhema kana kuti muprofita wechitendero chenhema.
Vapostora venguva yekereke yekutanga ndivo vaive madzibaba. Isu panguva yekupedzisira tiri vana vaduku vanofanira kudzokera kunotenda zvitendero zveBhaibheri zvakatendwa nemapostora.
I JOHANE 2:18 Vana vaduku, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu unovuya, nazvino vana antikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira
I JOHANE 4:3 Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika.
Antikristu mweya. Asi kune mweya iyi mizhinji.
Madhimoni mazhinji aigara mumurune aipenga paGedara .
Mweya waantikristu unotonga nekunyengera zvitendero, munezvematongerwo enyika, nemumari zhinji. Saka kubata kukuru kwemaJuda muMusika wemari wepasi rese kuchakwezva P0pe wekupedzisira kuti aite sungano navo.
MaJuda aipemberera mutambo weHwamanda muTestamente Yekare.
REVITIKO 23:23 Zvino JEHOVA wakataura naMosesi akati
24 "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Pamwedzi wechinomwe, zuva rokutanga romwedzi rinofanira kuva kwamuri zuva rokuzorora kwazvo, rinoyeudzwa nokuridzwa kwehwamanda, ive ungano tsvene.
Mutambo weHwamanda unomiririra Hwamanda nomwe dzemweya unoshamisa dzichareva munguva yeKutambudzika. Izvi zviitiko zvinoshamisa zvinoranga pasi rese zvotinha maJuda achidzokera kuIsraeri.
Tarisai hwamanda yekutanga.
ZVAKAZARURWA 8:7 Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, zvikakandirwa panyika; ipapo chetatu chenyika chikatsva, nechetatu chemiti chikatsva,novuswa, bwutema bwose bwakatswa.
Chimvuramabwe nomoto. MaJuda achaziva chiratidzo ichi. Izvi zvakapedzisira kuitika Mosesi paaifanira kutungamirira maJuda kuNyika yeChipikirwa vachibva kuEgipita.
EKSODO 9:23 Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, JEHOVA akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. JEHOVA akanaisa chimvuramabwe panyika yeEgipita.
Saka maJuda akaona chimvuramabwe chinopfuta moto vanobva vaziva kuti Mwari ari kuvaudza kuti vadzokere kuIsraeri.
Maprofita maviri achaparidzira maJuda nekuvachengetedza kwemakore matatu nehafu kuti maJuda agadzirire kusangana naMessiasi wavo.
Mosesi anodaidza matani enhunzi kana matani emhashu ari hondo huru kwazvo muchadenga. Majeti emaRussia nemaArabu paanouya kuti arwise vaIsiraeri anenge achifanira kudarika nekunhunzi kana mhashu idzi zvinobva zvakanganisa mainjini emajeti kusvika ndege dzavo dzadonha kubva mudenga.
EKSODO 8:21 Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako,
EKSODO 10:13 Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu.
Chingofungai hondo yepasi ichiuya nematangi makuru nemidziyo inofamba panyika. Mosesi obva adaidza kudengenyeka kwenyika, sepaakapikiswa naKora naDatani, kuti nyika ishame imedze vavengi vose.
NUMERI 16:32 nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.
33 Naizvozvo ivo, nezvose zvavo, vakaburukira kuhwiro vari vapenyu; ivhu rikavafukidza, vakaparadzwa pakati peungano.
Erija anodaidza moto kubva kudenga kuti upise zvese zvinenge zvasara.
I MADZIMAMBO 18:38 Ipapo moto waJEHOVA wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.
Maprofita maviri achatonga zvakazara mamiriro ekunze uye vanogona kushandisa mamiriro ekunze sechombo, chinova chombo chikuru.
Chingofungai hondo huru yemugungwa ichifamba mugungwa reMediterranean kuti iuye kuIsraeri.
ZVAKAZARURWA 8:8 Zvino mutumwa wechipiri wakaridza, chimwe chakaita segomo guru rinopfuta nomoto chikakandwa mugungwa; ipapo chetatu chegungwa chikashanduka ropa;
(Handina chokwadi kuti izvi zvinorevei zvakazara. Asi chimborangarirai kana gomo rikakandirwa mugungwa.)
Ngarava dzinenge dziri pasi pegomo dzinonyangarika. Chimborangarirai madutu emasaisai makuru. Mumwe anototanga kunzwira hondo yaantikristu tsitsi. Vese vanenge vapona vanenge vari mudziva reropa. Zvinorwadza.
MATEO 21:21 Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuvonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.
Muwonde mucherechedzo weIsraeri. Maprofita maviri aIsraeri vanenge vaine kutenda kunokandira makomo mugungwa. Magumo anorwadza kuhondo dzese dzevanovenga Israeri.
Pasi rese rinenge richimukira Israeri asi maprofita maviri aya vanokurira kuedza kwavo kwemakore matatu nehafu.
Saka Mosesi naErija vanotungamirira maJuda kudzokera kunogamuchira Messiasi wavo kuIsraeri.
Vaviri ava vanoita hushumiri hunodakadza kwazvo.
Asi Mwari aigadzira nzvimbo kuitira kudzoka kwake kumaJuda kubva pahondo yepasi rese yekutanga.
ZVAKAZARURWA 7:1 Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose.
54-0514 CHISIMBISO CHAMWARI
Zvino tarirai Ishe, anoti “Dzibatei” kusvika zvadii? Nguva yegumi neimwe vanhu vanogona kuuya, kudanwa kwekupedzisira kwevaHedeni. Mai vaishapano; mbuya vaishanda uko. Ino inguva yedu, nguva yegumi neimwe. Hondo yepasi rese yakamira mumwedzi wechigumi neumwe wegore, riri zuva rechigumi nerimwe remwedzi, awa rechigumi nerimwe rezuva, mineti rechigumi nerimwe paawa, kuti vanhu veawa rechigumi nerimwe vapinde. Chii? ... Kugamuchira rubapatidzo rumwechete rweMudzimu unoyera rwavakagamuchira kumashure uko pakutanga, kudzosa simba rerumuko rwaShe Jesu Kristu, zviratidzo nezvishamiso zvimwechete.
... vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina zvezviuru vanenge vamire. Rimwe remazuva aya, mumwe akayera mutsvene wevaprofita, akazodzwa waMwari achaenda ikoko nezviratidzo nezvishamiso. MaJuda iwayo achati, “Ndizvo zvandiri kutsvaga.” Hongu, baba. Mwari achabapatidza maJuda 144,000.
61-0217 CHIRATIDZO CHECHIKARA NECHISIMBISO CHAMWARI. 2
Tarirai, vakawomesa moyo yavo ... Zvino, kwakamboitika riini dambudziko repasi rese kubva nguva iyoyo? Hondo yepasi rese yekutanga. Mauto ese, marudzi ese, vaive vakaungana pamwechete. Paive nezvinyorwa pakupera kwehondo yepasi rese yekutanga. Hakuna anoziva nhasi kuti ndiyani akaita hurukuro dzerunyararo. Kaiser Wilhelm akati haana kudziita. Hakuna mukuru wemauto akadziita. Asi tarisai, kuti zvaishamisa sei. Waive musi wa 11 mwedzi wechigumi neumwe Mbudzi, nguva dza 11. Zuva rechigumi nerimwe, mwedzi wechigumi neumwe pagore, mineti rechigumi nerimwe kuenda paawa rechigumi nerimwe. Chaive chii? Kuita kwaMwari ndiko kwakabata . “Kwakabata mhepo ina”. “Mhepo” zvinoreva “Hondo nematambudziko”, tinozviziva. Kusvikira Israeri yadzokera muParesitina zvakare, “Mhepo ina dzakabatwa” hondo ikamira ipapo paawa rechigumi nerimwe nekuti ...
Rangarirai Jesu achitaura nezvevanhu venguva yegumi neimwe? Neakasvika nguva yegumi neimwe, akataura kuti kudii? Musavate kani; ivai vemweya. Tarirai, akazvitaura sei? Vanhu venguva yechigumi neimwe vaiwana muripo wakafanana nevakauya nguva yekutanga. Rubapatidzo rweMweya Mutsvene rwaifanira kudzokera kunosimbisa maJuda, sekusimbiswa kwakaitwa vekutanga, vanhu venguva yechigumi neimwe. “kubata mhepo ina; musarega nyika ichiparadzwa kusvikira tasimbisa varanda vaMwari pahuma dzavo.
MaJuda, maJuda 144,000 ndivo vashandi venguva yegumi neimwe vanouya pakupedzisira chaipo.
54-0103M MIBVUNZO NEMHINDURO 1
Zvino, “Pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina”. Nemamwe mazwi, mhepo inovhuvhuta muhondo nematambudziko kuti zvipararire pasi rese. Izvi zvakaitika riini? Hazvina kusvikira pakutanga kweHondo yepasi rese yekutanga. “Batai mhepo”, vakashingirira, kupinda kunokurira.
Zvino, pano panouya imwe. Zvino, dai maizoona nekutaura nemutumwa, ndiye mutumwa mumwechete akauya kuna Ezekieri 9, varume pavakabva kumasuwo avo nezvombo zvekuuraya vachipinda muJerusarema kunouraya maJuda. Muchiri kurangarira here? Akati, “Dzibate”. Dzibate. Dzimise, kusvika wafamba guta waisa mucherechedzo pahuma imwe neimwe inochema nekuungudza nekuda kwenyangadzi yaitwa muguta. Ndizvozvo here?
Akati aita izvozvo, akavasiya vakapinda kunovuraya. Ndiko kuuraiwa kwakaitwa maJuda pasi pehutongi hwaTito. Zvino, muri kuona, ndiye mutumwa mumwechete anouya zvakare, achiuya kubva kumabvazuva, kuchauya kuchibva Jesu, anenge aine chisimbiso chaMwari mupenyu. Ngaakudzwe.
Zvino, Chisimbiso chaMwari mupenyu chii? Oh, kana chisiri chikonzero chekupokana kukuru munyika nhasi. Vamwe vanoti kuchengetedza Sabata, vamwe vanoti kuita izvi kana izvo. Asi Bhaibheri rinoti Mweya Mutsvene ndiwo chisimbiso chaMwari. VaEfeso 4:30 inoti, “Musatambudza Mweya Mutsvene waMwari wamakasimbiswa mauri kusvika pazuva redzikinuro.” Mazvionaka? Zvakanaka. Ndiwo Mweya Mutsvene.
Kunouyei? Zvino, tarirai. Oh, kana ndikafunga nezvazvo moyo wangu unosvetuka. Zvino, anoti, “batai mhepo ina kusvika (nemamwe mazwi) tinosimbisa varanda vaMwari wedu pahuma dzavo (varanda, maJuda).” Johane akatendeuka akati: “ndinoona vane zana nemakumi mana nevana vezvuuru vakasimbiswa.” Zvino, mhepo yakatanga, vangadai vakafukidza nyika nehondo yeAmagedhoni ingadai yakaitika munguva yeHondo yepasi rese yekutanga, asi ...
Zvino, ndinofanira kuwana rimwe Gwaro pano kuti ndikuratidzei. Jesu akataura pamusoro pevanhu akati, “Vamwe vakauya panguva imwe, neimwe nguva, kukazoita vanhu venguva yechigumi neimwe, vanhu venguva yegumi neimwe.” Zvino, imi vemweya, verengai mumitsara, “nekuti ndichasvetuka pano ndomhanya. Zvino, tarirai. “pindai, vanhu venguva yechigumi neimwe.” Zvakanaka... Zvino, vekutanga vanouya vogamuchira peni, vanhu venguva yegumi neimwe vanowanawo peni iroro rakawanikwa pakutanga. Ndizvozvo here? Nguva yegumi neimwe. ...
Zvino, tarirai, maJuda ndivo vane rwendo rwese tiri kumutevera parizvino. Pakauya hondo yepasi rese, yakatora maJuda ese; vakapararira kunyika dzakasiyana siyana. SeGwaro rekutanga nhasi rabvunzwa, akavaparadzira sei pasi rese mumarudzi ese; vese variko. Zvino kunouya mhepo dzichipinda muJerusarema, pese pese, Hondo yepasi rese.
Akati, “Batai. Misai, kusvikira tasimbisa varanda vaMwari”. Mamwe mazwi, tiri kuvaunganidza kubva munyika dzese, kwese kwese, tichivaunza, nekuti tinofanira kuvadzosa kuti tisimbise maJuda 144,000. Dzibatei.”
Hondo yePasi rese yekutanga yakamira mumwedzi wechigumi neumwe, zuva rechigumi nerimwe remwedzi, awa rechigumi nerimwe rezuva, kuti vanhu venguva yechigumi neimwe vapinde, kudanwa kwekupedzisira kwemaJuda. Anoenda kunogamuchira rubapatidzo rumwechete rweMweya Mutsvene rwavakawana pakutanga pazuva rePentekositi, bapatidzwai nenzira imwechete, zvimwe zvese, vanhu venguva yegumi neimwe vachipinda.
Akati, “Dzibatei izvozvi, kusvikira tasimbisa.”
“Muchadzibata kwenguva yakareba sei?”
“Kusvikira tasimbisa varanda vaMwari.” Izvozvi tiri kusimbisa vaHedeni; vakasimbiswa, kanopetwa zviuru nezviuru munguva dzekurwadziswa nekuvurayiwa nekutambudzika; vari kusimbiswa. Asi mirai zvishoma, zvishomanana. Musarege nguva ichisvika kusvikira tasimbisa varanda vaMwari.” akasimbisa maJuda 144,000. mhepo ichibva yasiiwa zvakare.
Zvino, tarirai, kubva pahondo yepasi rese yekutanga kwaive nekurwadziswa nekuurayiwa kumaJuda kusina kubvira kwamira. Kwakasimuka Hitira kuuya neHondo yepasi rese yechipiri. ...
EZEKIERI 9:2 Zvino tarira, varume vatanhatu vakabva nenzira yesuo rokumusoro, riri kurutivi rwokumusoro, mumwe nomumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, nomumwe murume pakati pavo akafuka mucheka werineni, ano runyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake. Vakapinda, vakandomira parutivi rwearitari yendarira.
3 Zvino kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kwakwira kuchibva pakerubhi, pakwakanga kuri, kukasvika kuchikumbaridzo cheimba; akadana murume akanga akafuka mucheka werineni, akanga anorunyanga rweingi rwomunyori pachiuno chake.
4 JEHOVA akati kwaari, "Pfuura napakati peguta, napakati peJerusaremu, uise chiratidzo pahuma dzavanhu vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoita mukati maro."
5 Asi kuna vamwe wakati, ini ndichizvinzwa, "Pfuurai nomuguta muchimutevera, muuraye; ziso renyu ngarirege kupembedza, musava netsitsi;
Kunenge kusina tsitsi nguva yeKutambudzika.
6 Urayai vose vatana namajaya nemhandara navanana navakadzi; asi regai kuswedera kunomumwe anechiratidzo; mutange panzvimbo yangu tsvene." Ipapo vakatanga navatana vakanga vari pamberi peimba.
61-0216 CHIRATIDZO CHECHIKARA NECHISIMBISO CHAMWARI. 1
Zvino, uyu nerunyanga rweingi parutivi rwake ndiye Mweya Mutsvene. Zvino, tarirai, paakati apinda, akasunungura varume ivavo nezvimbo zvekuuraya. Akati, “Urayai vose, vaduku, vakuru, varandakadzi vaduku, vana vaduku; musasiye chero; asi musaswedere kune ava vane chisimbiso pamusoro pavo.”
55-0312 CHISIMBISO CHAKRISTU
Zvichida, kuparadzwa kukuru kwegore AD 96 kusati kwasvika, Tito akapoteredza masvingo eJerusarema, guta, Mweya Mutsvene wakatanga kuenda, Murume akashonga zvichena nechinyoreso, penzura parutivi rwake, kuti aise chiratidzo pamusoro pevanhu vaiungudza nekuchema vachichemera kunyangadzwa kwaive kwaitwa muguta. Mwari akafanotaura, kuti vafanogadzirira.
MaJuda 1,100,000 vakafa Tito mukuru wemauto eRoma paakaparadza Tembere neJerusarema mugore 70 AD.
Saka kuurayiwa kukuru kwakaona maJuda achiparadzirwa muhupoteri pasi rese.
Ipapo mugore 1917 Balfour Declaration yakatendera maJuda kuva nemusha wawo muIsraeri.
Saka mugore 1918 Mwari akaronga magumo anoshamisa nguva dza 11 musi wa 11 mwedzi wechi 11 pakupenga kweHondo yepasi rese yekutanga. Kuita uku kwakaratidza kuti zvisinei nekuedza kwese kwerudzi rwevanhu kuparadza mudzihondo, Mwari ndiye anenge achibata zvese.
Hondo yepasi rese yechipiri yakasunungura hudzvanyiriri hwemweya. Mudzvanyiriri Hitira akasunungura nzira yekuurayiwa pamaJuda, nyika yeIsraeri, muHorokasiti munguva yeHondo yepasi rese yechipiri. MaJuda mamiriyoni matanhatu vakaurayiwa mugore 1945 zvakaita sekuti Hitira akanga akurira. Mwari vaive vachiri kutonga pazvese. Muchinguvana chekunzwa tsitsi United Nations yakatsigira kuti maJuda vadzorerwe musha wavo mugore 1947. Mwari aive achiri kukwanisa kutanga kugadzirira maJuda kuti Messiasi adzoke kwavari, munguva yeKutambudzika zvisinei nekuurayiwa kwese.
Horokasiti kana kuurayiwa kwemaJuda 6 miriyoni kwaive kuratidzirwa kwenguva yeKutambudzika. Kuratidzirwa kwemarwadzo enguva yeKutambudzika ichauya.
63-03 23 CHISIMBISO CHECHITANHATU
Takatora izvozvo, hakuna chirimo munyika, handitendi, asi maJuda iwayo vakasangana nenguva yeKutambudzika ichiratidzirwa. Mukati menguva dzehondo dzekupedzisira idzi, vakanga vachivengwa nevanhu vose. Eichmann akauraya mamiriyoni vavo muGermany (makanzwa kukwavakaitwa.) Mamiriyoni evanhu vasina mhosva vakaurayiwa, maJuda, nekuti vaive maJuda, pasina kana chimwe chikonzero.
... Zvino, tererai izvi. Zvino, ndizvo zvakataurwa naJesu kuna Mateo 24:29 ne 30.
Pakarepo mumashure menguva yeKutambudzika kwemazuva iwayo ... (apo kutambudzika uku, kutambudzika kuduku kwavakasangana nako pano. Mazviona?) ...
Kuurayiwa kwevanhu kwekupenga muhondo yepasi rese yechipiri yaingove imwe nhanho yekudzosa maJuda kuJerusarema.
Kukanganisa kukuru kwemaJuda makore 2000 akadarika kwaive kuzvitorera mhosva yekudeurwa kweropa raJesu pamusoro pavo nepamusoro pevana vavo.
MATEO 27:25 Vanhu vose vakapindura vakati, ropa rake ngarive pamusoro pedu navana vedu.
Kubva ipapo vakanga vakufanira kufira kutenda kwavo.
ZVAKAZARURWA 7:2 Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
54-0103 MIBVUNZO NEMHINDURO.1
Akati aita izvozvo, akavarega vachipinda kunouraya. Ndiko kuurayiwa kwakaitwa pasi paTito. Zvino, munoona, ndiye mutumwa mumwechete anodzoka zvakare, achiuya kubva kumabvazuva, kuchauya kuchibva Jesu, anenge aine chisimbiso chaMwari anorarama. Ngaakudzwe.
ZVAKAZARURWA 7:3 achiti: Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.
Izvi zvinotarira mberi munguva yeKutambudzika. Munguva yeKutambudzika kuchava nekuparadzwa kukuru pasi rese. Asi maprofita maviri vachachengetedza Israeri kusvikira maJuda 144,000 vasimbiswa nerubapatidzo rweMweya Mutsvene. Ipapo ivo nemaprofita maviri vanofanira kuvurawa. MaJuda vanofanira kusimbisa kupupura kwavo kweruponeso neropa ravo.
ZVAKAZARURWA 7:4 Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vanezvuru zvinezana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsraeri.
5 Vorudzi rwaJuda vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri. Kurudzi rwaRubeni vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaGadi vanezvuru zvinegumi nezviviri;
6 Vorudzi rwaAseri vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaNafutarimi vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaManase vanezvuru zvinegumi nezviviri;
7 Vorudzi rwaSimeoni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaRevi vanezvuru zvinegumi nezviviri Vorudzi rwaIsakari vanezvuru zvinegumi nezviviri;
8 Vorudzi rwaZabhuroni vanezvuru zvinegumi nezviviri; Vorudzi rwaJosefa vanezvuru zvine gumi nezviviri; Vorudzi rwaBenjamini vakaiswa chisimbiso vanezvuru zvinegumi nezviviri.
Dani naEfraimu havapo. Nei?
Kana chero rudzi rukaita zvekunamata mifananidzo, Mwari akavimbisa kurudzima mazita arwo kubva Kudenga.
DEUTERONOMIO 29:18 kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava;
DEUTERONOMIO 29:20 Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJEH0VA neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; JEHOVA uchadzima zita rake pasi pokudenga.
Zvinorevei kana zvichinzi “pasi pedenga”?
Denga rekutanga kana kuravira Denga panyika kuchava munguva yeMereniyamu.
65 -0829 EDENI RASATANI
Kwakanga kusina gungwa; Denga rekutanga nenyika yekutanga zvakanga zvadarika.” Denga redu rekutanga raive chii? Raive Mereniyamu. Nyika yekutanga chii? Yaive iyo ino.
Saka kudzimwa kubva pasi peDenga zvinoreva kuti vachadzimwa kubva mukudzorerwa kwemaJuda kwenguva yeKutambudzika nekuti izvi zvinoitika nguva yeMereniyamu isati yasvika. Saka marudzi maviri, rudzi rwaDani naEfuremu, vakatendeukira kumifananidzo, mhuru dzendarama, vanenge vasiri pakati pemaJuda 144,000.
II MADZIMAMBO 10:29 Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBetieri, nedzaiva paDhani.
Betieri raive guta guru raEfuremu.
HOSEA 4:17 Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei.
Dani raive guta guru munyika yaDani.
Ikoko vainamata mhuru dzendarama. (Rudo rwemari runogarotora vanhu kubva pakunamata Mwari).
Mepu inotevera inoratidza nzvimbo yaDani naEfuremu pakati pemarudzi gumi nemaviri aIsraeri.
Zvakazarurwa Chitsauko 7 inoshanda neboka rechipiri rinoshanda naMwari munguva yeKutambudzika. Ava maKristu akaponeswa vanoita vasikana mapenzi kana kuti vakanyengerwa. Vakanga vasina mafuta zvaireva kuti vakanga vasina mwenje saka vaisagona kuverenga nekunzwisisa Bhaibheri. Vairamba vachivimba nekutaura kana mazwi avaibata paitaura vanhu netsika dzavo. Zvisinei nekuponeswa vakaramba vachifukidzira kusaziva kwavo Magwaro nekusimbirira kutaura kuti maive nezvakakanganiswa muBhaibheri, kukanganisa kuturikira, kuzvirwisa, nengano muBhaibheri reKing James Vhezheni. Vanotenda kuti kuchengetedzeka kwavo kuri pakutevedzera tsika dzekereke.
ZVAKAZARURWA 7:9 Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikavona vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro chovushe, napamberi peGwaiana, vakapfeka nguvo chena, vakabata michindwe mumavoko avo;
Zvakawandisa hatingazviverengi tikapedza. Mugore 2019 kwaive nemaCatholic 1.4 bhiriyoni nevemasangano 0.9 bhiriyoni. Kana kuine vanhu 2.3 bhiriyoni vanonzi maKristu ndipo panobva maKristu akawandisa anozopinda munguva yeKutambudzika.
ZVAKAZARURWA 7:13 Ipapo mumwe waVakuru wakapindura, akati kwandiri: Ava vakapfeka nguvo chena ndivananiko? Vakabvepiko?
14 Ndikati kwaari; Ishe wangu, imi munoziva. Akati kwandiri: Ndivo vanobva kukutambudzika kukuru, vakasuka nguvo dzavo vakadzichenesa muropa reGwaiana.
Vakakandirwa mumarwadzo enguva yeKutambudzika, maKristu akaiswa muboka revasikana mapenzi vanoramba vakuru vemakereke avo votanga kuwana kutenda kwavo kutsva muna Jesu vachiramba chiratidzo chechikara saka vanotarisana nerufu. Moto wenguva yeKutambudzika kukuru hauvaponese, unotungidzazve kutenda kwekutanga kwavaive nako munaJesu pavakaponeswa nguva yeKutambudzika isati yatanga. Moto wenguva yeKutambudzika unobva wapisa kutadza kwemakereke kwese kubva mavari. Saka pavanofa vanenge vakukwanisa kuwana kutenda kwakazara munaJesu kwavanovaka mumoyo yavo pachavo.
I VAKORINTE 3:15 Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.
Paitangwa makereke evasikana mapenzi muchiedza chakazara chezuva pamberi peruzhinji, mwenga kana kuti vasikana vakachenjera vakanzvera Magwaro vachiziva kuti Kutinhira kunomwe kwakavanzika kuchatora nzvimbo kuseri kwechidzitiro cherunyararo. Kutinhira hakuna kunyorwa muBhaibheri asi kwakavanzwa neimwe nzira muBhaibheri. Saka tinoda kuziva nzira dzeBhaibheri kuti tizive gwara richareva neKutinhira. Kutinhira kunomwe kunochengetedza zvakavanzika zvenguva inouya zveKuuya kwechipiri kwaJesu achisvikotora Mwenga wake odzorera Evangeri kumaJuda. Zvakavanzika zvenguva yekupedzisira izvi zvinoshanda chete kana zvikaramba zviri zvakavanzika. Mukuru wehondo akachenjera anogarochengetedza zano rake rekupedzisira riri chakavanzika..
ZVAKAZARURWA 8:1 Wakati azarura chisimbiso chichinomwe, kunyarara kukavapo kudenga kunenge sehafu yenguva.
Iri ndiro vhesi rakavanzika zvakanyanya muBhaibheri. Rinotaura Kuuya kwaShe kuzotora Mwenga wake.
Rinotaurawo Ishe Jesu achiuya kumaJuda.
JUDASI 1:9 Asi Mikaere Mutumwa kukuru
DANIERI 12:1 "Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
Mikaere ndiKristu paanotora mufananidzo wemutumwa.
55-0109 KUTANGA NEKUGUMISWA KWEKUGOVERWA KWEVAHEDENI
“Panguva iyoyo Mikaere achamira, Muchinda mukuru.” Mikaere aive Kristu, ichokwadi, anorwa hondo dzengirozi naSatani kudenga.
63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
Bhuku rezvisimbiso zvinomwe rakasimbiswa iri rinoziviswa panguva yeKutinhira kunomwe kuna Zvakazarurwa 10. Kana muri kuzvironda .... ngatiendei kuna Zvakazarurwa 10 kwekanguvana, kuti muwane kunzwisisa tisati tapinda mazviri. Zvino, izvi zviri panguva yekupedzisira, saka tererai.
[ZVAKAZARURWA 10] Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
Kana muchionesesa ndiye Kristu (Mazviona?) nekuti iye muTestamente Yekare aidaidzwa kuti Mutumwa weSungano, izvozvi ari kuuya akanagana nemaJuda, nekuti kereke inenge yapera. Mazviona? Zvakanaka.
... chiso chake ... sezuva, tsoka dzake sembiru dzomoto:
Mucharangarira mutumwa wekuna Zvakazarurwa 1? Chinhu chimwechete. Mutumwa inhume, iye Mutumwa kuIsraeri. Mazvinona? Kereke inenge yatorwa kukwira kudenga. Mazviona?
Zvino, kana kugadzirira kukwira kudenga. Anovinga kereke yake.
Tarirai hushumiri huviri hweMutumwa mukuru.
Anouya kukereke iri kugadzirira kukwira kudenga.
Uye Mutumwa kuIsraeri, Mutumwa weSungano, mumashure mekukwirwa kudenga kwekereke.
64-0119 SHAROMI
Asi, rangarirai, kana tikangopinda mumumvuri werufu, “Ndini Rumuko nevupenyu; ndichamumutsa zvakare.” Uye kana Mukuru wemasimba ose aburuka akaisa hoko iyoyo pasi, ipapo, “nguva haizovapo.” Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.
Jesu seMutumwa Mukuru, anouya kuzomutsa vakafa venguva yeTestamente Itsva vakafa mukati memakore 2,000 enhorondo yekereke.
Mwedzi mumwechete asati afa, hama Branham vaive vachiri vakarindira kureva kumwe kweKutinhira, Kudanidzira kwezwi remutumwa mukuru kuti vakafa vamutswe.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.
ZVAKAZARURWA 10:2 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
Gungwa nenyika ndipo pakavigwa vatsvene vese vakafa munguva nomwe dzemakereke.
ZVAKAZARURWA 10:3 Akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
“Akadanidzira nenzwi guru” uye “akati adanidzira” Magwaro maviri anotaura pamusoro perumuko.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
52 Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
Uku kwaive kumutswa kwevatsvene veTestamente Yekare.
Tikatarisa kumuka kwaRazaro.
JOHANE 11:43 Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
44 Wakanga afa akabuda, akapombwa makumbo namavoko nemicheka yobwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka, Jesu akati kwavari: Mumusunungurei, aende.
Saka kutinhira kunoreva panguva yekumutswa kwevatsvene veTestamente Itsva.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Ipapo kunouya kutinhira kwakavanzika kusina kana kunyorwa zvachose. Ndizvozvo chaizvo. Ndinotenda izvozvo nekutinhira kunomwe ikoko kuchaziviswa mumazuva ekupedzisira kuitira kuti mwenga aunganidzirwe kuwana kutenda kwekukwira kudenga; nekuti kwatiri nako nhasi, hatigoni kuzozvigona. Tine zvatinofanira kuenda mberi kwazviri; hatigoni kuwana kutenda kwakakwana kwekuponeswa. Tinofanira kuwana kutenda kwakakwanira kushandurwa muchinguvana nekutorwa kukwira kudenga kubva pano panyika.
... Asi kana kutinhira kunomwe kuri kunaZvakazarurwa 10 pakwakareva, akati, “Usazvinyora zvachose.” Ndizvo zvakavanzika. Hatisati takuziva kuti zvimbori chii nanhasi; asi mafungiro angu anoti zvichaziviswa. Kana zvikadaro, zvichapa kutenda kwekukwira kudenga nenyasha dzekuti kereke iende mberi ibve panyika.
Pamagumo chaipo Kutinhira kunomwe kunozivisa kutenda kwesimba rinoshamisa nenyasha zvichashandura miviri ino yenyama kuita miviri isingavori inodiwa neMwenga kuti akwire kudenga (Repucha).
Evangeri rinobva radzokera kumaJuda.
Kutinhira kunomwe kunofanira kupa simba rinoshamisa kumaprofita maviri kuti vagone kushandura mamiriro ezvinhu panyika.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Mirirai kusvika kutinhira kunomwe kwareva manzwi ako kuboka rinogona kutora Shoko raMwari voriisa pakadaro apo. Rinocheka nekugura. Vanogona kuvhara matenga; vanogona kuvhara izvi kana kuita izvo, chero chavada kuita. Ngaarumbidzwe.
Achauraiwa neShoko rinobuda mumuromo make; rakapinza kudarika munondo unocheka kwese. Vanogona kudaidza mabhiriyoni ematani enhunzi kana vachida havo. Amen. Chero chavanotaura kuti chichaitika, nekuti iShoko raMwari riri kubva mumuromo maMwari. Amen.
Mwari nguva dzese ... Ishoko rake. Asi nguva dzese vanorishandisa. Mwari aikwanisa kuunza nhunzi kuEgipita, asi akati Mosesi ibasa rako. Ndichangokuudza zvekuita, iwe woenda kunoita saizvozvo.”
JAKOBO 5:17 Eria wakanga ari munhu wakaita sesu, akanyengetera nomunyengetero kuti mvura irege kunaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu.
Eria ndicho chiGiriki chezita Herija. Akaunza nzara yakakuvadza kwemakore matatu nehafu. Achazviita zvakare munguva yeKutambudzika.
ZVAKAZARURWA 8:2 Ipapo ndakavona vatumwa vanomwe vamire pamberi paMwari; vakapiwa hwamanda nomwe.
Hwamanda nomwe dzaimiririrwa nemutambo weHwamanda.
REVITIKO 23:24 "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Pamwedzi wechinomwe, zuva rokutanga romwedzi rinofanira kuva kwamuri zuva rokuzorora kwazvo, rinoyeudzwa nokuridzwa kwehwamanda, ive ungano tsvene.
Hwamanda dzinoshamisa idzi dzinodaidza maJuda akapararira kuti adzoke kuJerusarema kubva mativi mana epasi rese.
ZVAKAZARURWA 8:5 Mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto wearitari, akaukandira panyika; ipapo kwakavuya kutinhira, namanzwi, nemheni, nokudengenyeka kwenyika.
Kudengenyeka kwenyika kunoitika panguva yerumuko. Kutinhira kunomwe kunoreva kuMwenga nekumaprofita maviri. Inenge iri nguva yekushanduka kwezvinhu apo Evangeri rinobva kuvaHedeni richienda kumaJuda.
ZVAKAZARURWA 8:6 Ipapo vatumwa vanomwe, vakanga vanehwamanda nomwe, vakazvigadzira kuti varidze.
Tsamba dzinotanga kubuda, kunomanikidza maJuda 6 miriyoni ari kurarama kunze kweIsraeri kuti adzoke kuNyika yechipikirwa.
ZVAKAZARURWA 8:7 Wokutanga wakaridza, kukavuya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa,
Eksodo kana kuti rwendo rwekupedzisira rwunotanga. Chimvuramabwe nemoto chaive chiratidzo chakashandiswa naMosesi paakatungamirira rwendo (eksodo) rwekutanga vachibuda muEgipita.
EKSODO 9:23 Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. JEHOVA akanaisa chimvuramabwe panyika
24 Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo.
Mwari haangazivisi kuhama Branham kuti Hwamanda idzi dzimbori chii. Dzinoshanda kumaJuda munguva yeKutambudzika, kwete kwatiri.
Mutumwa wechishanu anoona gomba regehena richizarurwa madhimoni emweya akaita semhashu dzinoparadza achizara pasi rese kuti asiye aparadza. Kuruma kwawo kuri munhema dzawo uye hunyengeri.
ZVAKAZARURWA 9:1 Zvino mutumwa wechishanu wakaridza, ndikavona nyeredzi,, yakabva kudenga, yawira pasi; ikapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.
2 Ikazarura gomba rakadzika-dzika, vutsi bwukakwira bwuchibva mugomba, sovutsi bwevira guru; zuva nedenga zvikasvibiswa novutsi bwegomba.
3 Muvutsi makabuda mhashu dzikavuya panyika, dzikapiwa simba sesimba rezvinyavada zvenyika.
ZVAKAZARURWA 9:4 Dzikavudzwa kuti dzirege kutadzira vuswa bwenyika, nechinhu chinyoro, kana miti yose, asi vanhu bedzi vasinechisimbiso chaMwari pahuma dzavo.
Iyi mweya. Mhashu chaidzo dzinodya huswa nemashizha. Asi maJuda 144,000 havabatwi nemadhimoni aya nekuti vanogara nekutevera Magwaro.
ZVAKAZARURWA 9:8 Dzakanga dzinevhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi, [vhudzi refu] nameno adzo akanga akaita seeshumba. [Meno anehukasha ehutsinye hwezvakavanzika zveBabironi]
ZVAKAZARURWA 9:11 Dzakanga dzinamambo wadzo, ari mutumwa wegomba rakadzika dzika, zita rake nechiHebheru ndiAbhadhoni, nechi Giriki zita rake ndi Aporioni.
Aya madhimoni ezvechitendero mambo wawo ndimambo anopfeka korona. Munhu mumwechete wekumadokero mutumgamiri wezvitendero ndiye anopfeka korona, Pope.
Pope Nicholas 1 akagadzwa akaturikwa korona mugore 960 AD iri korona imwechete.
Chinguvana mumashure megore 1310 yakaitwa korona yezvidanho zvitatu.
Mugore 1963 hama Branham vakazivisa Zvisimbiso zvitanhatu kuna Zvakazarurwa Chitauko 6.
Chiedza chakajekesesa ichi chakafumura vatongi verima Pope nemutungamiriri weAmerica aive muRoman Catholic, John Kennedy, vakabva vafa muna 1963. Pope mutsva, Pauro 6, akaturikwa korona asi akaibvisa. Saka maPope akapfeka korona kwemakore 1000.
ZVAKAZARURWA 9:14 Richiti kumutumwa wechitanhatu wakanga anehwamanda; Sunungura vatumwa vana vakasungwa parwizi rukuru runonzi Yufratesi.
Rwizi Eufraitesi rune chirevo chemweya sezvo rwuri rwizi rwaiyanana neEdeni.
Rwakaita muganhu pakati peNyika yaAbrahama yeChipikirwa nenzvimbo dzakapoteredza Babironi kwakatangira Nimrodi kumukira Mwari.
Mucherechedzo ndewekuti madhimoni anodziviswa kupinda munyika yechipikirwa nemvura dzerwizi Eufraitesi. Mvura mucherechedzo weShoko raMwari.
VAEFESO 5:26 kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
Shoko ratinotenda rinoita muganhu usingaonekwe unotipoteredza unomisa madhimoni kuti asapinde matiri.
ZVAKAZARURWA 9:15 Ipapo vatumwa vana vakasunungurwa, vakanga vakagadzirirwa nguva, nezuva, nomwedzi, negore, kuti vavuraye chetatu chavanhu.
Mwari anoona vanhu vendudzi nhatu. VaHedeni, maJuda, nevaSamaria vanova chikamu maJuda chikamu vaHedeni.
Saka chetatu chenyika chinorevera maJuda. Vanhu vakasarudzwa naMwari vakavenga Satani.
ZVAKAZARURWA 9:16 Kuwanda kwehondo dzavatasvi vamabhiza kwakanga kuri zvuru zvezvuru zvamazana maviri; ndikanzwa kuverengwa kwavo.
Madhimoni mamiriyoni mazana maviri akasunungurwa pamaJuda kuti avaparadze panyama nepamari.
ZVAKAZARURWA 9:18 Chetatu chavanhu chakavurawa namadambudziko awa matatu, anoti, moto novutsi nesurferi, zvakabuda mumiromo yawo.
ZEKARIA 14:2 Nokuti ndichaunganidza ndudzi dzose dzavanhu kuzorwa neJerusaremu; guta richakundwa, dzimba dzichapambwa, navakadzi vavo vachachinyiwa; hafu yeguta vachatapwa, asi vakasara vavanhu havangabviswi muguta.
MaJuda vachatora matanho akasimba. Asi rangarirai, maJuda vanofanira kusimbisa kupupura kwavo neropa ravo. Saka maJuda vanoterera vanouraiwa vanoguma vaenda Kudenga. Zvinoita senjodzi pano panyika zvinoguma zvava chikomborero kwavari.
ZEKARIA 13:8 Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura JEHOVA migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo.
9 Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, `Ndivo vanhu vangu,' ivo vachati, `Jehovha ndiMwari wangu.'
Zvikamu zviviri muzvikamu zvitatu zvemaJuda zvinoparadzwa.
Chii chinogonesa kuti kupamba kwemadhimoni uku kubudirire?
Kusatenda muShoko rakanyorwa kunoreva kuti mvura yeShoko inenge ichiwoma izvi zvozarura musuwo kukurudziro yemadhimoni.
Tarirai Ndiro yechitanhatu yeKutonga inodururwa panguva yeHwamanda yechitanhatu.
ZVAKAZARURWA 16:12 Zvino wechitanhatu akadurura ndiro yake pamsoro porwizi rukuru, runonzi Yufratesi; mvura yarwo ikapwa, kuti nzira dzamadzimambo anobva kumabvazuva dzigadzirwe.
Madzimambo ekumabvazuva ndiwo madhimoni 200 miriyoni kubva panguva yeHwamanda yechitanhatu.
Kuoma kwemvura murwizi rweEufraitesi kunotendera madhimoni kudarika achipinda muNyika yeChipikirwa kunoparadza maJuda.
ZVAKAZARURWA 16:13 Ipapo ndakavona mweya yetsvina mitatu yakaita samatafi ichibva mumuromo weshato nomumuromo wechikara, nomumuromo womuporofita wenhema;
Tiriniti imwechete yakataurwa muBhaibheri ndeyemweya yakaipa mitatu inogara muna Pope waantikristu. Munhu mumwechete ane mweya mitatu maari.
Ndiye muprofita wenhema sezvo ari muprofita wechitendero chenhema, mambo wegomba rakadzikadzika. Ndiye zvakare chikara, mweya unoita kuti vanhu vasimudzire munhu mutsvene kumuisa pahuMwari. Mweya miviri iyi inomuita mukuru wekereke imwechete yepasi rese.
Satani anopinda maari kunomuita mutungamiri wehurumende imwechete yepasi rese. Satani ndiye muridzi wehushe hwezvematongerwo enyika.
MATEO 4:8 Diaborosi akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza vushe bwose bwenyika nokubwinya kwabwo.
9 Akati kwaari, izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ukandimata.
Satani aisakwanisa kupa Jesu hushe hwezvematongerwo enyika kunze kwekunge ari ndiye aive muridzi wahwo.
Vanotenda kuTiriniti munguva yeKutambudzika vanotenda kuti muhuMwari mune vanhu vatatu vakasiyana, vachatenda kuti Mosesi naErija, vari vanhu vaviri vakasiyana, ndivo chikara uye muprofita wenhema. Kunyanya kana Erija akazodonhedzera moto kubva kudenga.
ZVAKAZARURWA 16:14 Nokuti ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose.
Chishamiso chemadhimoni ndiyo Tiriniti yavakaita kuti makereke ese atende mairi, saka chinogona kuva chinhu chikuru icho makereke ese anobatana pachiri. Tiriniti inobva yaita chinhu chikuru chinoita kuti vanoenda kumakereke varambe kuti Jesu ndiye Ishe wemasimba ose. Tiriniti inovaita kuti vatende kuna Baba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene riri zita raMwari.
Saka vanobapatidzwa muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene voramba Gwaro kuna Mabasa 2:38.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
Nekuramba zita raJesu sezita raMwari paakava Munhu, havana zita raMwari wavo weTiriniti. Havagoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu.
MaKristu anokanganisa kwazvo pavanoti chikara chechipiri kuna Zvakazarurwa Chitsauko 13 chiri kukweva moto kubva kudenga chinotaura pamusoro pemuprofita wenhema.
Chikara chechipiri ichi kana simba ndiro simba gurusa repasi rese, America.
13 chiverengo cheAmerica sezvo rusununguko yakarwuwana iine nyika 13.
Chikara chekutanga iRoman Catholic yakasimuka kuva nesimba pakati peruzhinji rweEurope.
Ruzhinji urwu rwaimiririrwa negungwa.
Chisikwa chechipiri iAmerica yakasimuka munzvimbo dzaive dzisina vanhu vazhinji dzemapani eAmerica, inomiririrwa neyika kana ivhu. Vatapi weSpain vakauya makore anodarika zana aive adarika kuSouth America vakaparadzira zvirwere zvakaita semhezi dzakaparadza zvikamu 90 kubva muzana zvemaIndia aigara nzvimbo idzodzo.
Paive nenyeredzi gumi nenhatu (13) uye mitsetse gumi nemitatu (13) pamureza weAmerica. Washington neLincoln zvakaisa hwaro hwepamusoro soro. Bumbiro remitemo yeAmerica raive rakanakisa. Asi hwaro hwakazodonhera pasi pakakura simba ravo. Hutsinye nehuwori zvakasimukawo.
ZVAKAZARURWA 13:11 Zvino ndakavona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chinenyanga mbiri segwaiana,, chikataura seshato.
Chisimbiso cheAmerica chine nyeredzi gumi nenhatu, mitsetse gumi nemitatu mashizha emiorivhi gumi nematatu nemaorivhi gumi nematatu (zvakamiririra runyararo) nemiseve gumi nemitatu (yakamiririra hondo). Motto yavo “E Pluribus Unum” ine mabhii gumi nematatu. Zvinoreva kuti “Kubva Muvazhinji tiri Mumwe”.
Saka 13 chiverengo cheAmerica.
ZVAKAZARURWA 13:12 Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya.
Mari nekurudziro dzeAmerica zviri kusimudza bato reKanzuru yeMakereke yePasi rese mumufananidzo wekereke yeRoman Catholic. Hushe hweRoma yechipegani ndihwo hwave chikara chakaparadzwa nemarudzi evatorwa. Asi kereke yeRoman Catholic yakasimuka kubva mumatongo ehushe hweRoma.
Pope akatora simba rese raive muEurope raive raraswa naKesari weRoma.
Kereke yeRoma ndiyo yega chimisikidzo cheRoma chakararama pakuwira pasi kwehushe hweRoma ikagona kupora kubva kuronda rekuuraya rakaiswa nemarudzi evatorwa kuvaRoma.
7 chiverengo chekupedzisa. Mazuva manomwe (7) anopedza vhiki. 8 zvinoreva kuti chimiro chitsva. Kereke yeRoma ine mweya waive werudzi rumwechete nevabati vanomwe vekutanga veRoma vakaparadza hushe hweRoma hwaitongwa nemaSeneta vakatanga hudzvanyiriri hwemunhu mumwechete. Hushe hweRoma hwakatanga kutongwa nemubati aive mudzvanyiriri mukuru. Mugore 2019 Pope ndiye ega aive mudzvanyiriri muEurope.
ZVAKAZARURWA 13:13 Chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinoburusira moto unobva kudenga panyika pamberi pavanhu;
Izvi zvishamiso zvesainzi. Panguva yehondo yepasi rese yechipiri America yakatora hutungamiri hukuru muruzivo rwezvesainzi.
Muhondo vakaputitsa mabhomba maviri ekutanga eatomi kubva chinhambwe chemamita 7 00 pamusoro pemaguta eJapani. Bhora remoto, rakajeka kudarika zuva, rakanaya kubva kudenga kunoparadza guta rimwe nerimwe nekumisa hondo. Kushandisa tekinoroji yakanakisa muzvinhu zvakaipa.
Murugare, mugore 1969 yakaita nyika imwechete chete yakagona kusvitsa munhu wayo kumwedzi. (zvakaramba zviri zvechokwadi kusvika mugore 2019). Vanhu vanoenda kumwedzi pavaidzoka vakafamba nemutizo mukuru zvekuti vakaita bhora raipfuta kwemaminetsi matatu nehafu pavaifamba muchamweya chenyika zvakazovadzorera mutizo wavo nesimba guru rekukwizana.
Mugore 2019 vesainzi vakaziva kuti hakuna nyika ichagona kuendesa munhu kumwedzi gore 2030 risati rasvika.
Pasi rese rakashamiswa netekinoroji yakakwanisa kusvikwa neAmerica.
ZVAKAZARURWA 16:15 Tarira ndinovuya sembavha. Wakaropafadzwa unorinda, unochengeta nguvo dzake kuti arege kufamba asina kupfeka, vavone nyadzi dzake.
“Sembavha” zvinoreva kuti nguva isina anoziva. Kuuya kwaJesu kwakaputirwa muchakavanzika.
Mbatya dzinoratidzira muviri wemunhu kuzvidza kukuru kuna Mwari kwatinoita isu vanhu. Tinofanira kutendeuka kubva pakupfeka zvakaipa. Mbatya dzevarume nedzevakadzi dzinofanira kutsaurwa. Vakadzi havafaniri kupfeka midhebhe. Mbatya hadzifaniri kunjenjemera kana kukonzeresa. Mbatya dzinofanira kuva dzakadzikama uye dzinoremekedzeka.
ZVAKAZARURWA 16:16 Akavavunganidzira panzvimbo inonzi Hamagedhoni nechiHebheru.
Kudururwa kwemadhimoni uku kunoguma kwaita kuti hondo dzemapegani dziwandire kuMegiddo kuchaitikira hondo yeAmagedhoni.
DANIERI 8:23 "Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka.
Antikristu achaita sungano yakasunganidzwa nemadhimoni nemaJuda achida mari yavo iri Mumusika wemari.
Nenzira yakachenjera achanyengera makereke kuti amupe simba ravo remweya uye remari. Asi anovagadza kuti agovaparadza kumberi.
DANIERI 8:24 Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
Simba ravo remauto rinobva kuvadzvanyiriri gumi. Simba rake rinoshamisa rinobva kukereke yeRoma nevemakereke vanopikisa Roman Catholic vanenge vanyengereka. Simba rake rezvemari rinobva muMusika wemari wemaJuda. Achada kuparadza maJuda kuti aise muzinda wake muJerusarema, uko anoda kunozviita Mwari.
DANIERI 8:25 Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
Kufambisa mabasa emawoko kana mumaindasitiri. Achagadza maindasitiri achapamba mishando yepasi rese. Asi pakupedzisira Jesu achamuparadza paAmagedhoni.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Kereke yeCatholic inogona kuripira zvese. Ndiyo yega ine mari; inogona kuzviita. Ichazviita. Mukuita izvi kuti izviwanire, ichataurirana nemaJuda yoita sungano, kana ikaita sungano iyi nemaJuda, ... Zvino rangarirai, ndiri kutora izvi kubva kuMagwaro. Zvino, kana akaita sungano iyi, tinoona kuna Danieri 8:23 nevhesi 25 achakonzera kuti mabasa emaoko abudirire (mabasa ndiko kugadzira), mumavoko ake.
Anoita sungano iyi nemaJuda, pakati pemakore matatu nehafu, anoputsa sungano yake kana angowana zvaanoda atora mari yemaJuda kuti iite yake. Uye kana aita izvozvo, oh, maiwe, oh, maiwe, anodaidzwa kuti antikristu kusvika pakupera kwenguva dzemakereke, nekuti ndiye – iye nevana vake vanopikisa Kristu neShoko. Munhu uyu anodaidzwa kuti antikristu. Zvino, achabata mari. Ipapo ndipo paachapinda. Ndipei kanguva kaduku, ndichiri kutaura izvi ndinoda kudzokera kwazviri chinguvana. Anonzi antikristu achadaidzwa kuti antikristu mumaziso aMwari kusvikira pakuguma kwenguva. Zvino, asi achadaidzwa nerimwe zita.
Zvino, kana akakwanisa kutonga mari yese, anobva aputsa sungano nemaJuda, sezvakataurwa naDanieri pano kuti achazviita, pakati pehafu yekupedzisira yemavhiki makumi manomwe aDanieri. Zvino, hama, achaita sei? Achaita simba mukutengesa kwepasi rese nehupfumi, oyanana nepasi rese, ‘nekuti achange akabata hupfumi hwepasi rese zvakazara. Munguva iyoyo, ivo maprofita maviri vanosimuka panzvimbo vodaidza maJuda 144 000. chiii chinozoitika? Chiratidzo chechikara chekuna Zvakazaruwa 13 chinobva chapinda, ‘nekuti akabata pfuma yese, kutengeserana kwese nezvese zvepasi rese. Chii chinozoitika ipapo? Chiratidzo chechikara chinouya nekuti hakuna munhu anogona kutenga kana kutengesa kunze kweuyo ane chiratidzo chechikara. Totenda Mwari, Kereke inenge yakufara makore matatu nehafu mukubwinya. Haizopindane nezvese izvi.
DANIERI 11:30 Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.
Tarisai kumukira kwaSatani. Akaita sungano nekuda kwemari yemaJuda iri mumusika wemari wepasi rese asi aisada hake kuchengetedza nekuzadzisa sungano iyi.
DANIERI 11:32 Vanoitira sungano zvakaipa, achavatsausa nokubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru.
Antikristu anoita bato rinomugonesa kuputsa sungano. Asi maprofita maviri, Mosesi naErija, vane simba rekushandura mamiriro ekunze nezvinhu vanogona kumupikisa nezvidavado zvavo zvinoshamisa.
DANIERI 11:33 Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji.
Maprofita maviri vanounza maJuda kuruzivo rweEvangeri reTestamente Itsva. Asi maJuda vanorovererwa. Hondo dzemadhimoni dzinovapikisa kwazvo.
DANIERI 11:43 Asi achava anesimba pamusoro pefuma yendarama nesirivha, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveEgipiti;
Antikristu ane chinangwa chisingagumi chekuzvitorera nekuzviunganidzira mari yese yepasi rese kuitira zvido zvake zvisina kururama.
DANIERI 11:45 Achadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira,
Jerusarema iri pakati pegungwa reMediterranean negungwa rakafa (Dead Sea).
Ndiko kuchagadzwa muzinda waantikristu wekupedzisira sekuti ndiMwari agere muJerusarema.
Asi tarirai zvinoitika kana Jesu akadzoka kumaJuda.
ZEKARIA 14:2 Nokuti ndichaunganidza ndudzi dzose dzavanhu kuzorwa neJerusaremu; guta richakundwa, dzimba dzichapambwa, navakadzi vavo vachachinyiwa; hafu yeguta vachatapwa, asi vakasara vavanhu havangabviswi muguta.
3 Ipapo JEHOVA achabuda, ndokurwa nendudzi idzedzo, sezvaakarwa nezuva rehondo.
4 Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivhi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi.
Gomo reMiorivhi rinoratidzwa muruvara rwegirini mumufananidzo unotevera.
Rinopatsanuka kuita renje rekumabvazuva kwakadziva kumadokero rinoparadza zvakazara muzinda unenge wavakwa naantikristu achizvivakira.
Rwizi runobva rwayerera rwuchibva Jerusarema (runoratidzwa muruvara rweyero) kuenda kuDead Sea nekubva kuJerusarema kuenda kugungwa reMediterranean.
Gungwa rakafa (Dead Sea) rinoita gwara rinorasira kuzasi kuti rigone kuita gungwa rine mvura yakanaka.
ZEKARIA 14:8 Zvino nezuva iro mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusaremu; imwe hafu yayo ichayerera kugungwa rokumabvazuva, imwe hafu yayo kugungwa rokumavirazuva; zvichaitwa pazhizha napachando.
ZVAKAZARURWA 10:1 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
Kristu Mutumwa wesungano, anoburuka panyika seMutumwa Mukuru. Anova Mikaere.
Mutumwa mukuru anoburuka pakutanga kwenguva yeKutambudzika kuzogadzirira maprofita maviri nesimba guru remweya.
Kristu seMutumwa Mukuru anopindira munguva yeKutambudzika kuti abatsire maJuda.
DANIERI 12:1 Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
Nguva yeKutambudzika kukuru ichange yakaipa kwazvo zvekuti Jesu chete ndiye achagona kuvachengetedza.
DANIERI 12:7 Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
Nguva imwe igore. Dzimwe nguva ndiwo makore maviri. Hafu yenguva ndiyo hafu yegore. Izvi zvikabatanidzwa anoita makore matatu nehafu kana mwedzi 42. mwedzi umwechete wemaJuda une mazuva 30. saka mwedzi 42 ine mazuva 1260. ndiko kureba kwenguva yeKutambudzika.
Antikristu anogona kuparadza simba remaJuda asi Jesu anopindira kunokurira Antikristu.
DANIERI 12:12 Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
1333- 1260 = mazuva 75.
Pane mukana wemazuva 75 kubva pakupera kwenguva yeKutambudzika kusvika pakutanga kweMereniyamu.
Nguva yeKutambudzika inoguma nekuuraiwa kwemaprofita maviri. MaJuda 144,000 vanofanira kuurayiwa vomutswa kuti vamire sevachengetedzi vemwenga paanodzoka kuAmagedhoni.
Pope waantikristu anofanira kuunganidza hondo dzake dzese kuti dziende kuhondo yekupedzisira paMegiddo.
Jesu anodzoka neMwenga wake chisviniro chinonotsikwa nekuparadzwa apo kuerera kweropa kunosvika mamaira mazana maviri.
Zvese zvinenge zvapera mumashure mehondo yeAmagedhoni. Vaya vanenge vapunyuka vemarudzi vanozogara kwemakore anoda kuita 1 000 sezvazvaive pakutanga mvura yaNoa isati yauya. Zvakare vachararama murugare panyika vachitongwa naJesu neMwenga wake.
Vanhu ava, nekuti vanenge vakashingirira kurwadza kwenguva yeKutambudzika, vanogona chete kuzvitsanangura sevakaropafadzwa panotanga Mereniyamu mazuva 75 mumashure mekupera kwenguva yeKutambudzika.
DANIERI 12:13 "Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo."
Nhandare inobva yagadzwa kuti Mereniyamu itange. Mwari vane nzvimbo nechinangwa nemunhu mutsvene mumwe nemumwe anotenda kuBhaibheri.