Mereniyamu Chikamu 1 - Nhanganyaya, Mwenga
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Nhanganyaya. Mwenga, Antikristu neKereke.
First published on the 31st of July 2021 — Last updated on the 31st of July 2021Tiri kurarama munyika isina kugadzikana munezvemari, njodzi, kukanganisika kwemamiriro ekunze, nhamo, kutya, hondo nekutapwa kwevanhu nematerorisiti.
Saka chivimbiso chemakore 1000 erugare chinofadza. Chinhu chatinotarisira tese.
“Mille” chiratini chinoreva 1000. “Annum” Chiratini chinoreva kuti gore rimwechete. Izvi zvakabatanidzwa kugadzira izwi rekuti “Mereniyamu” rinoreva kuti makore 1000.
Makore chiuru anopinda muchidzidzo chino riri zuva raMwari rimwechete.
II PETRO 3:8 Asi vadikanwa, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kunaShe zuva rimwe rakaita samakore anechuru, namakore anechuru sezuva rimwe.
Mimwe mibvunzo mikuru ndeyekuti:
Zviitiko zvipi zvinouya Mereniyamu isati yauya?
Ndiyani achakunda kupinda muMereniyamu?
Vachange vachiitei muMereniyamu?
Chinangwa cheMereniyamu ndechei?
Chii chichatevera mumashure meMeremiyamu?
GENESISI 1:1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.
Kuika zvinoreva kuti kugadzira chimwe chinhu kubva pasina.
Hatizivi kuti zvakatora nguva yakareba sei kuti Mwari asike Denga neNyika kubva pasina. Zvinogona zvakatora mabiriyoni emakore.
62-03 18 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA
Mukatarisisa, Mwari achiudza Mosesi nezveBhaibheri, Akati, “Pakutanga Mwari akasika Denga neNyika.” chete! Zvakatora nguva yakareba sei, hazvinei nesu izvozvo. Akabva aenda mberi achibva atanga kuunza nguva Dzake dzekuisa mbeu panyika.
Asi, “Pakutanga”, panogona kuva pakatora mazana emabiriyoni emakore, nguva zhinji, asi, “Mwari akasika denga nenyika.” Chete! Izvi zvinozivisa kuti ndiyo nhanho yekutanga.
Asi Mwari paakasarudza kugadzira nyika yakasikwa kuti igone kuchengeta hupenyu, Akatora makore 6000 kuita izvozvo. Ndiwo aive mazuva matanhatu kuna Mwari. Saka paive pasingadi kushandiswa mazuva evanhu emaawa 24. Mwari akashandisa mazuva ake, rimwechete raive makore 1000.
Saka makore 6000 akashandura nyika yaive isina chinhu kuiita Paradiso. Munda weEdeni.
Pazuva rechinomwe Mwari akasiya mwanakomana wake, Adamu, nemwenga wake, kuti vatonge nyika kwemakore 1000.
Asi mukati mezuva rechinomwe iri vakakundikana zvivi zvikapinda.
Kubva ipapo Satani ndiye anotonga nyika kwemakore 6000 akashandura Paradiso kuita Edeni yaSatani yanhasi inonyangadza.
Saka mumashure memakore 6000 aSatani ekutonga nyika kunouya hondo yeAmagedhoni, apo Jesu anoparadza antikristu Pope wekupedzisira, nehondo yake isingatendi. Ipapo Jesu neMwenga wake kereke yechokwadi, vanogadza Hushe hwemakore 1000 erugare.
ZVAKAZARURWA 20:4 Vakararama vakabata vushe pamwe chete naKristu makore anegumi ramazana.
MAPISAREMA 37:11 Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.
Uku ndiko kuchava kuzadziswa kwezuva rechinomwe. Mwanakomana waMwari Jesu neMwenga wake, vatendi veBhaibheri vechokwadi, vanozotonga nyika muzuva rechinomwe.
Tinoda nguva yeMereniyamu kuti tizadzise vhiki raMwari rekutanga kuti Mwari agadzirise zano rake rekutanga rakakanganiswa naSatani.
Kubva pane izvi tinodzidza kuti Satani anokwanisa kukanganisa nekunonotsa Zano raMwari asi haagoni kurikonesa kuti rizadziswe. Satani pakupedzisira anokurirwa.
Murango wekupedzisira wezvivi rufu.
GENESISI 2:17 Asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zvirokwazvo.
Zuva rimwe makore 1000. hakuna mutadzi anogona kurarama kwemakore 1000. munhu akararama kudarika vamwe vese aive Metusera akasvitsa makore 969.
Pakuuya kwaJesu (kunodaidzwa nevazhinji kuti Repucha) maKristu akafa kubva mumakore 2000 enguva dzemakereke, vachamutswa murumuko vapenyu vese vachashandurwa kupihwa miviri isingawori.
I VAKORINTE 15:52 Pakarepo nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira ipapo vakafa vachamutswa nokusavora; nesu tichashandurwa.
53 Nokuti ichi chinovora chinofanira kufuka kusavora; nechichi chinofa chinofanira kufuka kusafa.
Mwenga anorarama achashandurwa kupihwa muviri mutsva kuti vagone kutorwa kukwira kudenga kuChirayiro cheMuchato apo nyika nevasikana mapenzi, vanoenda kumakereke vakaponeswa asi vakanyengerwa, vanopinda mumakore matatu enguva yeKutambudzika. Vasikana mapenzi maKristu asi vakanyengerwa nezvitendero netsika dzemakereke zvisiri muMagwaro.
Mwenga anodzoka naJesu kubva kuhondo yeAmagedhoni kwavanonorwisa hondo dzeGogu pakupera kweAmagedhoni. Apa manoyerera ropa kwazvo apo zvitunha neropa zvinounganidzwa kusvika pakukura kwebhiza chinhambwe chemamaira 200.
EZEKIERI 38:2 Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kuna Gogi, wenyika yaMagogi, muchinda waRoshi naMesheki naTubari, uprofite pamusoro pake.
Pano Magogu inomiririra nyika.
ZVAKAZARURWA 14:20 Chisviniro chikatsikwa kunze kweguta; ropa rikabuda muchisvinirorikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia ane chiuru chamazana matanhatu.
Pane mastadia masere mumaira rimwechete.
Mumashure mehondo yeAmagedhoni, Jesu neMwengawake vachagadza hushe hwavahatonga kwemakore 1000.
Panopera makore 1000 aya, vatsvene veTestamente Itsva vanozivikanwa nekunzi Mwenga kana vasikana vakachenjera vanenge vararama makore 1000 mumiviri yavo mitsva yekubwinya isingawori.
Ndihwo huchava humbowo hwavo hwekuti vakasununguka kubva pakutuka kwaMwari kwaakaisa pazvivi.
Kana muchigona kurarama makore 1000 munorarama nekusingagumi.
Uyu hausi mufananidzo kana tsananguro zvadzo sekutaura kunoita kereke yeCatholic, atori makore 1000 akakwana.
Mereniyamu inokwana papi pazviitiko izvi zvese?
Uku kuratidzirwa kwezviitiko zvikuru.
Mumashure meMeremiyamu Satani achaunganidza vanhu kuti arwise Kristu. Kuunganidzwa kwevanhu uku kunodaidzwa kuti Gogi Magogi.
ZVAKAZARURWA 20:7 Zvino kana makore ane gumi ramazana apera, Satani uchasunungurwa mutorongo yake.
8 Uchabuda kundonyenera marudzi ose ari kumativi mana enyika, Ivo Gogi naMagogi, avavunganidzire kundorwa; kuwanda kwavo kwakaita sejecha regungwa.
9 Vakakwira pakufara kwenyika, vakakomba vatsvene neguta rinodikanwa; ipapo mwoto wakaburuka uchibva kudenga, ukavaparadza.
Asi moto wakabva Kudenga wakavaparadza.
ZVAKAZARURWA 20:11 Zvino ndakavona chigaro chovushe chikuru chichena, naiye wakanga agere pamusoro pacho, iye nyika nedenga zvakatiza pamberi pake; zvikasawanirwa nzvimbo.
Kunobva kwauya Zuva reKutongwa kwevasikana mapenzi nevasina kuponeswa.
ZVAKAZARURWA 20:12 Ipapo ndakavona vakafa, vaduku navakuru, vamire pamberi pechigaro chovushe; bhuku dzikazarurwa, neimwe bhuku yovupenyu ikazarurwa; vakafa vakatongwa nezvakanga zvakanyorwa mubhuku, sezvavakabata.
Vakafa vanomira pamberi paMwari saka kumutswa kwevakafa vese kunenge kwaitika.
JOHANE 12:48 Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.
Tichatongwa neBhaibheri.
Saka tinofanira kutenda kuzvese zviri muBhaibheri.
Jesu ndiye Shoko. Saka kuita kwedu maringe neBhaibheri ndiko kuita kwedu pamberi paJesu. Kana tikawana zvakakanganiswa kana kurwisana muBhaibheri tinenge tichiwana zvakakanganisika muna Jesu. Kutadza kukuru chaiko.
Kana tisingafadzwi kwazvo nekuverenga nekudzidza Bhaibheri hatifadzwi naJesu. Iye achatida here kuti tive nhengo yeMwenga wake? Mukadzi aasingadi murume wake?
ZVAKAZARURWA 21:1 Zvino ndakavona denga idzva nenyika itsva: nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuvura; negungwa rakanga risisipo.
Nyika yekutanga, nyika yedu yanhasi inenge yaenda. Kunenge kusisina gungwa nekuti gungwa rinenge raparara raparadza chiso chese chenyika nezviratidzo zvese zvehuchenjeri hwevanhu nezvigadzirwa zvavo. Hutachiwana nehurwere zvinenge zvaparadzwa.
Kuravira Denga kwekutanga panyika ndiko kuri muMereniyamu apo Jesu anotonga kwemakore 1000. Ndiro Denga rokutanga.
65-829 EDENI RASATANI
“Kwainge usisina gungwa; denga rekutanga nenyika yekutanga zvainge zvadarika.”
Denga redu rekutanga raive ripi? Mereniyamu.
Nyika yekutanga ndeipi? Iyo ino.
Ichagadziriswa. Sekubapatidzwa kwayakaitwa nguva yaNoa, mumazuva ekuparidza kwake; yakanatswa naKristu, paakasasa ropa rake pamusoro payo; ikagadziriswa, akabvisa hutachiwana hwese pairi, pakugadzirisa pakupedzisira, nerubapatidzo rwemoto ruchauraya hutachiwana hwese, hurwere hwese, hosha dzese, nekuipa kwese kwaive panyika.
Munhu uyu munhorondo yevanhu aive Jesu Kristu. Aive Mwari panyama.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Rufu rwake pamuchinjiko mugore 33 AD rwakatenga kuponeswa kwedu kubva kuzvivi.
Evangeri renyasha rakatsvaira pasi rese kwemakore 2000 akatevera, nguva inozivikanwa nekunzi nguva nomwe dzemakereke, dzinomiririrwa nechigadziko chemwenje minomwe. Nguva imwe neimwe yekereke yakasangana nemiyedzo yakasiyana nekurwiswa kwakasiyana. Mweya waKristu waifamba munguva imwe neimwe achitungamirira nekuchengeta kereke yake.
ZVAKAZARURWA 1:13 Napakati pezvigadziko zvemwenge, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu,
Nguva yekereke yechinomwe kana kuti yekupedzisira yeRaodikia ichapera kana kumutswa kwevatsvene vakafa kwaitika. Vatendi vanorarama vachashandurwa kupihwa miviri yakafuka kusavora. Vaya vese vari mumiviri yekubwinya vanobva vatorwa kunosangana naShe kumakore. Kuuya kwaShe chiitiko chinodaidzwa nevazhinji kuti Repucha.
I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.
17 Zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naShe nguva dzose.
ZVAKAZARURWA 10:1 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
2 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
6 ... kuti nguva haingazovipo.
Mugore 1964 hama Branham vaive vakatarisira Mutumwa wekuna Zvakazarurwa 10 kuti auye kuzomutsa vakafa.
64-0119 SHAROMI
Asi, rangarirai, kana tikangopinda mumumvuri werufu, “Ndini Rumuko nevupenyu; ndichamumutsa zvakare.” Uye kana Mukuru wemasimba ose aburuka akaisa hoko iyoyo pasi, ipapo, “nguva haizovapo.” Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”
Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.
Kumutswa kwevatsvene vakafa kubva munguva dzemakereke manomwe.
Ndiro richava simba guru rinoshamisa rinouya nemupimo mukurusa.
Ichi chiitiko chakakosha sezvo “Nguva haizovipo zve”.
Nguva inomira chete kwauri kana mapinda mumuviri usingafugi kuvora. Hamuzochembere kana kurwara. Munoramba muri vaduku.
Nguva ndipo panoita shanduko muzvinhu. Kana nguva yaguma hamuzoshanduki kana kukura.
Kubuda munguva muchipinda muhupenyu husingagumi kuchava chiitiko chesimba guru remweya.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Panguva yekutinhira uku, tinoona Kristu , kana Mutumwa Mukuru achiburuka nemurarabungu, achiisa tsoka yake panyika imwe mugungwa achipika kuti nguva haizovipo yapera panguva iyoyo.
Tiri kurarama munzvimbo yezvikamu zvitatu, hurefu, kupamhi nehudzamu.
Nguva iri munzvimbo yechina.
Tinobuda munguva chete kupfurikidza kupinda munzvimbo dzepamusoro. Zvinoda simba guru kubuda mumuviri unowora kupinda mumuviri usingawori.
Erija paakatorwa kukwira Kudenga aida ngoro yemoto, mabhiza emoto, nechamupupuri. Uku kwaive kusiri kuitwa kwezvinhu kuri nyore. Simba guru remweya raidiwa.
Saka kutinhira kunoyanana nesimba guru. Saka kunochengetedzwa nesimba iri. Saka hakuna kubvira kwanyorwa muBhaibheri. Izvi zvinosiya vanhu vese, kusanganisira naSatani, achifungidzira.
Chombo cheAmerica chine simba guru masabhumerini avo enyukiriya akavanzwa kusingaonekwe pasi penyanza kuti hakuna munhu ane chokwadi chekuti arikupi. Simba chairo hariratidzwi kusvikira nguva yekupedzisira. Nekuti ndiro rinotarisiswa nemuvengi.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Ipapo kutinhira kwakareva manzwi ako, Johane aive akuda kunyora ... kwaive ... Johane aiziva kuti kwakatii, asi haana kukunyora, ‘nekuti akarambidzwa kukunyora. Ndicho chakavanzika chikuru. Hachisi kana mumicherechedzo kana chimwe chinhu. Tinongoziva kuti kutinhira; chete.
Simba guru kwazvo kudarika zvatingarangarira rakamanikidzirwa kuti rikwane muKutinhira kunomwe.
Muviri weMwenga unoshanduka kuti ukwire kudenga. Kutinhira kunobva kwasimudza simba rinoshamisa remaprofita maviri kuvaIsraeri.
Kutinhira kunomwe kunotanga hushumiri hwaMosesi naErija hwekukanganisa mamiriro ezvinhu kuti vanunure maJuda 144,000 kubva kuhondo dzaPope waantikristu.
63-0321 CHISIMBISO CHECHINA
Mirirai kusvika kutinhira kunomwe kwareva manzwi ako kuboka rinogona kutora Shoko raMwari voriisa pakadaro apo. Rinocheka nekugura. Vanogona kuvhara matenga; vanogona kuvhara izvi kana kuita izvo, chero chavada kuita. Ngaarumbidzwe.
Achauraiwa neShoko rinobuda mumuromo make; rakapinza kudarika munondo unocheka kwese. Vanogona kudaidza mabhiriyoni ematani enhunzi kana vachida havo. Amen.
Chero chavanotaura kuti chichaitika, nekuti iShoko raMwari riri kubva mumuromo maMwari. Amen. Mwari nguva dzese ... Ishoko rake. Asi nguva dzese vanorishandisa. Mwari aikwanisa kuunza nhunzi kuEgipita, asi akati Mosesi ibasa rako. Ndichangokuudza zvekuita, iwe woenda kunoita saizvozvo.”
Panopinda hondo yaantikristu yemuchadenga, Mosesi anozadza denga nenhunzi dzinonokanganisa mainjini emajeti. Ndege dzichadonha kubva kudenga. Israeri inochengetedzwa neAmerica izvozvi munguva yeKutambudzika inochengetedzwa nemweya unoshamisa.
Kutinhira kunomwe kunosunungura simba guru remweya pamusoro peMwenga zvese nemaJuda.
63- 03 20 CHISIMBISO CHECHITATU
Mwenga haasati amutswa. Mazviona? Hapana rumutsiridzo apa. Hapana kuratidzirwa kwaMwari achisanganisa mwenga. Mazviona? Takakutarisira. Zvichatora kutinhira kunomwe kusingazivikanwe kuti kumutse mwenga zvakare. Achakutumira. Akavimbisa. Zvino, zvino, tarirai. Akanga afa.
Kutinhira kunomwe kuchamutsa Mwenga.
Hama Branham vanotsanangura Mwenga vachiti akafa.
Asi chiitiko ichi hachisi kuzomutsa Mwenga akarara chete, kuchamutsawo vasikana mapenzi vakakotsira mumasangano nemakereke. Kuchatora zviitiko zvinoshamisa pasi rese kumutsa munhu wese kusanganisa maKristu akaponeswa mumasangano.
Mhandara mucherechedzo, wekereke yakaponeswa. Makereke ese, vakachenjera kana mapenzi. Vose vakakotsira.
MATEO 25:5 Zvino chikomba chakati chichinonoka; vakakotsira vose vakavata.
6 Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere: Chikomba chovuya! Budai mumuchingamidzei!
7 Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
Vaifanira kubuda. Mukadzi mucherechedzo wekereke. Vasikana vose, vakangwara nemapenzi, vaive panzvimbo isiyo sezvo vaifanira kubuda kubva pavaive.
Dambudziko rimwechete panguva yekupedzisira hunyengeri.
Makereke akachenjera zvese nemapenzi vanonyengerwa vokotsira.
Asi mhere-mhere iri kuuya.
Vakachenjera vanokwira kudenga mukubwaira kweziso mapenzi kana kuti vaya vakanyengerwa vachipinda munguva yeKutambudzika.
Vadzidzi pavakabvunza Jesu pamusoro pezviitiko zvenguva yekupedzisira, kutaura kwake kwekutanga kwaive kwekuti:
MATEO 24:4 Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
Chinhu chainyanya kumutambudza chaive chekuti kereke yekupedzisira yaizonyengerwa.
MATEO 24:5 Nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu, vachiti, Ndini Kristu; vachitsausa vazhinji.
Kristu zvinoreva kuti akazodzwa. Saka makereke akazara nevaparidzi vanodakadza vakazodzwa.
Asi makereke akasvibiswa nemweya wekutsiva vagari vezvinzvimbo wechiprista cheBabironi. Danieri akavarwisa muchiratidzo chake kubva kuBabironi kusvika kuPersia kuenda kuPergamosi nekuRoma yechipegani. Mweya iyi yaive nyanzvi dzekukwezva zvido zvevanhu nezvitendero zvavo zvisimo muMagwaro zvakaita seTiriniti, kupemberera 25 Zvita nemuti wakashongedzwa, maIshita egi nemaIshita rabhiti, horosikopu, nekusimudzirwa kwemuprista kuti aite musoro boka rechitendero chechipegani (tsika dzavaNikoraiti). Koita munhu mumwechete, pontiff akaiswa pabasa rekuudza vanhu kuti votenda mune zvipi. Pontiff aive mutsivi wemumutsetse mukurusa wemaPontiff vakabva kuna Nimrod, musoro wekutanga wechipegani akamukira Mwari.
Mweya yekuBabironi yakavanzika iyi yakabva yapinda mukereke yeRoma kunokanganisa Evangeri rekutanga nedzidziso dzavo dzisimo muMagwaro dzakaita seKisimusi (hatina kubvira taudzwa kuti tipemberere kuzvarwa kwaKristu) maIsita egi nemarabhiti acho nekuti Eva akadya apura, nezvimwe zvakadaro. Tiriniti yakaita kuti kereke irasikirwe neruzivo rwekuti zita raMwari ndiJesu Kristu sezvo vakaritsiva nemazita ezvinzvimbo zvitatu, Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene. Pontiff kana kuti Pope anonzi ndiye akatsiva mutsetse mukurusa wemaPontiff wakatangira pana Petro wavanoti anokuzarurirai mukova weDenga kana muchiterera Pope.
Martin Luther kuGermany akatanga Rumutsiridzo asi hapana kutora nguva refu mweya weBabironi yakavanzika usati wasvibisa makereke evamutsiridzi vaipikisa chiCatholic nemazano ayo asimo muMagwaro. Nekuda kweizvi makereke asiri maCatholic akapatsanurana kuita masangano anodarika 45,000 emakereke akasiyana. Kutsvairwa kukuru pamweya. Tisingataure kuti izvozvi kwaneMavhezhini anodarika zana eBhaibheri rechirungu zviri kuwedzera kurasisa vanhu.
63-0319 CHISIMBISO CHECHIPIRI
Mwari batsirai kusatenda kwedu. Kubvisei kwatiri, Ishe. Tinoda kugamuchira nyasha dzekukwira kudenga. Tinoda kugona kana kutinhira kwakavanzika kwareva, kereke ichitorwa kukwira kudenga, tinoda kuva takagadzirira kukugamuchira, Ishe. Tipei Ishe. Tiedzei Ishe, NeShoko renyu.
Hama Branham vaitarisa nguva inouya vakatarisira Kutinhira kumwechete. Asi vanokutsanangura sekutinhira kwakavanzika saka havaiziva kuti kwaive chii.
ZVAKAZARURWA 6:1 Zvino ndakawona Gwaiana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe; ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti: Vuya!
Kutinhira kumwechete Zvisimbiso zvitamhatu zvikazarurwa kumashure kwako.
Mugore 1965, mwedzi mumwechete asati afa, Hama Branham vaive vachiri kutsvaga kana kumirira kutinhira, mhere, Izwi reMutumwa Mukuru, neHwamanda yaMwari imwe nguva munguva inouya. Izvi zvese zvinofamba nekuuya kwaShe.
1965-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.
Hama Branham vakaunza mharidzo yavo yaiuya kuzozivisa Magwaro.
Asi Mharidzo haipedziswi kusvikira tagona kutevera Magwaro zvakazara.
Saka Jesu anononoka,akamirira kuti isu titevere Bhaibheri.
Mharidzo yaive isati yazadziswa mugore 1965 pakapedza hama Branham kuzivisa zvakavanzika zvakanyorwa muBhaibheri. Mharidzo ichazadziswa chete kana takugona kuratidza kuti zvaakadzidzisa zvaive muMagwaro. Kana Mwenga akugona kutsigira kutenda kwake nekuyananisa mavhesi eBhaibheri.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaprofita.
Kwete mumazuva emutumwa wechinomwe akapera muna 1965 pakafa hama Branham.
Hama Branham havasisiri panyika saka tiri kurarama mumazuva enzwi ravo.
Saka kukosha kuri mumharidzo yakatapwa, kwete munaWilliam Branham ari munhu.
54-0515 MIBVUNZO NEMHIDURO
... parwizi Ohio chiedza chiya, mutumwa akaburuka kuuya paaive, akati, “sekutumwa kwakaita Johane Mubapatidzi kunokura nzira yeKuuya kwaJesu Kristu, Mharidzo yako ichaunzawo Kuuya kwaJesu Kristu kwechipiri”.
Izvozvi tinodzidza kubva kumasemoni akatapwa aya.
Tinoshandisa zvaakataura kuturikira nekunzwisisa zvinotaura Bhaibheri.
Kutaura kwake kunotidzidzisa kutsigira zvatinotenda nekubatanidza mavhesi akasiyana siyana emuBhaibheri pamwechete.
Bhaibheri reKing James Vhezheni ndiro Mukuru wedu.
51-0413 MABASA ANDINOPUPURA ANDAKABATA
Tinotenda mazviri nekuti Bhaibheri rinotaura izvozvo.
63-1216 TAKAONA NYEREDZI YAKE SAKA TAUYA KUZOMUNAMATA
Zvinoreva zvazvataura chaizvo. Bhaibheri rinoti, “Kuturikirwa kwazvo hakuna kuvanzwa”. Kana rikati, kana rikati, “Chitema chitema, chichena chichena,” ndizvo zvazvinenge zviri. Ndizvo zviripo. Ndiye Mukuru. Munhu wese akaberekwa nemweya waMwari akasungirwa pazviri, zvisinei, hakuna chingamuparadzanisa nazvo. Akasungirwa kuShoko. Kristu haagoni kunyepa pamusoro peShoko rake, nekuti ndiye Shoko.
Chinangwa chekereke yekupedzisira kudzoserwa kunotenda zvakatendwa nemapostora nekereke yeTestamente Itsva.
59-0823 GWATAKWATA MHASHU, MUTETENI MUPEDZACHOSE
“Asi ndichakudzorerai zvose zvakadyiwa nemuteteni, zvakadyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nemupedzachose, zvakadyiwa nemhashu. Ndichadzorera, ndizvo zvinotaura Ishe.” saka ndibatsirei, ndinoprofita izvi. Ishe vasati vauya, kutenda kwemapostora kwechokwadi, dzidziso dzemapostora dzechokwadi, neMweya weBhaibheri wechokwadi, chokwadi, zviri munzira parizvino, kuedza kudya kugadzira nzira yako, kuti kukure kuonekwe.
61- 0806 VHIKI RADANIERI RECHIMAKUMI MANOMWE
Tine mutumwa nyeredzi; tine munhu, mutumwa anoenda kunguva, vanhu vomuramba, vanhu vogamuchira. Mutumwa wenguva ino anouya musimba raEria. Ndizvo chaizvo. Aizodzorera Kutenda kwevana kumadzibaba avo, kuunza vakasara paPentekositi kunotenda zvakatendwa mazviri nemapostora chaizvo.
63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
Tinoona kuti muMagwaro kuna Maraki 4, kuchauya mumwe akaita saJohane, Erija. Kwaari kunosvikira Shoko raMwari, anozivisa kupfurikidza Mweya Mutsvene zvakavanzika zvaMwari zvese odzorera kutenda kwevana kunotenda zvakatendwa nemadzibaba avo mapostora.
MARAKI 4:5 Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJEHOVA rinotyisa, risati rasvika.
6 Iye uchadzorera moyo yamadzibaba kuvana, nemoyo yevana kunamadzibaba avo, kuti ndirege kuvuya ndirove nyika nokutuka.
Isu tiri vana panguva yekupedzisira. Mapostora ndiwo madzibaba akanyora Testamente Itsva vakatanga kereke yemaKristu yekutanga.
Tinodzidza chokwadi kubva kwavari.
Achinamatira vadzidzi vake, vakazoita mapostora, Jesu akati:
JOHANE 17:20 Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotenda vo kwandiri neshoko ravo.
Saka tinodzidza kubva kuMagwaro akanyorwa nemapostora.
“Zuva raShe” ndiyo nguva yeKutambudzika.
“Kutuka” ndiko kuita kweredhiyoekitivhi kunobva pabhomba reAtomi nenyukiriya. Kutuka nekuti kunoenderera mberi kuparadza nekukuvadza nguva refu mumashure mekuputika kwebhomba. Mabhomba eatomi akaputika paHiroshima nepaNagasaki mugore 1945 kwaive kuraidzirwa kwekuparadzwa kuchauya kunorwadza.
Mukati mehondo yepasi rese yechipiri (Second World War) tepi rekodha yakagadzirwa sechombo chakavanzika chekuunganidza ruzivo runotumirwa nevasori. Chakazoiswawo kuruzhinji muna 1947.
Mugore 1947 hama Branham vakatanga kutapa mharidzo dzavo. Matepi rekodha akatapa izwi ravo.
Izvi zvinoratidzirwa nechisikwa chipenyu chechina, gondo rinobhururuka, pachigaro chehushe.
ZVAKAZARURWA 4:6 Pamberi pechigaro chovushe pakanga panegungwa rakavonekera, rakafanana nekristaro; napakati pechigaro chovushe napamativi ose echigaro chovushe , pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobhururuka.
Gondo rinoona zvakapinza rinogona kuona chinhu nezvimwe zviri kure zvatisingagoni kuona Isu.
Chisikwa chechina, gondo, rinotaurwawo nezvaro muvhesi 7 yaZvakazarurwa Chitsauko 6 “seZWI rechisikwa chechina” chinotidaidza kuti tibude mumakereke kuti tigone kuona nekunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri. Vhesi 7 mucherechedzo wekereke yechinomwe. Rimwe nerimwe remavhesi manomwe ekutanga ekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 rinomiririra nguva yekereke.
ZVAKAZARURWA 6:7 Wakati azarura chisimbiso chechina, ndakanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya!
65-0801 M MWARI WENGUVA INO YAKAIPA
… Saka vanhu vaya vakatenda kuMharidzo yandakapihwa naShe Jesu Kristu kunguva ino, vanogona kuziva zviri kuitika, vozviisa muMagwaro.
64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO 1
Asi vaya vanogona kugamuchira Shoko mukuzara kwaro, kwete nekuti ndini ndariparidza, asi nekuti Bhaibheri riri kutaura izvozvo. Vaya vanotenda izvozvo vakasunungurwa nekuti Shoko rakatongwa kare.
Hatitende mune chimwe chinhu nekuti hama Branham vakataura kudaro. Tinotenda mudzidziso nekuti vakatsigira Mharidzo yavo neBhaibheri. Saka totenda kuparidza kwavo, tinoguma takutenda zvakanyorwa muBhaibheri.
63-1130 ENDAI MUNOMUTSA JESU
Chero mushumiri ari pano, anotenda muMharidzo yaShe, anotenda kuti Bhaibheri rinodzidzisa zvinhu izvi ...
63-1110 UYO ARI MAMURI
Tendai kuMharidzo yese, tendai izvozvo. Kana isina, kana isina kunyorwa muBhaibheri, musatende mazviri.
Saka ibasa redu kuratidzira kuti zvakadzidziswa nehama Branham zviri muMagwaro.
Tarisai kuti vadzidzi muBerea vakatambira Pauro sei, mutumwa wekutanga. Havana kungotambira zvakataurwa naPauro. Vakazvitsvaga muMagwaro.
MABASA 17:10 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Beria vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda muSinagoge ravaJuda.
11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda vaTesaronika, vakagamuchira Shoko nomoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Takatendeka kana tikatambira dzidziso yehama Branham toitsvaga muMagwaro mazuva ese kuti titsigire kuti zvavakadzidzisa zviri muMagwaro.
MATEO 24:23 Zvino kana munhu akati kwamuri, tarira Kristu uri pano kana apo, regai kutenda.
24 Nokuti vachamuka vanaKristu venhema vacharatidza zviratidzo zvikuru zvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanangurwavo.
Kunyegera kwaSatani kukuru kuri pakuti shandurei Bhaibheri nenzira yakachenjera.
Danieri akaronda chiprista cheBabironi kusvika kuguta rePegamosi rakazoita mbiri rikapfumbira pasi pehutongi hwevaGiriki.
Kurudziro yevaGiriki yaive yakasimba pakuzvikudza nerudo rukuru rwemakwikwi kuti munhu ararame zviri nani kudarika vamwe.
Chikristu chemakwikwi ndicho hunyengeri hukuru hwezuva redu ranhasi nekukanganisa kwaro. “Kereke yangu ndiyo iri nani kudarika kereke yako”.
1961-0730 ZVINANGWA ZVEMABASA MATANHATU EKUSHANYIRWA KWADANIERI NAGABRIERI
Chero iye, uyo anouya mumashure memabasa aSatani nemabasa ese nezviratidzo, ... (“ndisu kereke hurusa”) “Tine izvi tine izvo. Mese munobatana.” Mazviona? “Ndisu vakuru.” ... zvishamiso zvenhema.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera Mutumwa wekereke iri paRaodikia, uti:
16 Zvino zvaunodziya, usingatonhori kana kupisa, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
Zvakazarurwa Chitsauko 3 chinoti Mwari akasvipa kereke yeRaodikia kubva mumuromo make mune Shoko rake.
Chimwe chikamu chechakavanzika chaMwari izano guru raMwarirekudzorera kereke yenguva yekupedzisira yenguva yechinomwe kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga.
MATEO 17:11 Akapindura akati: Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
Erija muchiheberu ndiye Eria muchiGiriki.
Hama Branham vaifanira kuzivisa zvakavanzika zveShoko rakanyorwa. Tinofanira kutenda zvakatendwa nekereke yekutanga chete. Akauya kuzotidzorera kukereke yekutanga, kwete kuzounza dzidziso itsva dzavasina kubvira vatenda madziri.
Jesu ndiye anofanira kuwana rukudzo rukuru rwese.
63-0728 KRISTU NDIYE CHAKAVANZIKA CHAMWARI CHAKAZIVISWA
Ndiye Musoro wekereke, Muviri wake, anoda kukosha kwese.” Tererai zvino, tererai zvakanaka tichifamba. Chii? Achava Musoro weMuviri, wakatorwa kubva paari; nyama nemapfupa, sepana Adamu, mazviona, Mwenga.
Ipapo, Muviri weMwenga unofanira kutevera Musoro, nekuti chikamu chekumuka kwake uye chikamu chechakavanzika. Hazvigoni kuti usaende. Oh, maiwe! Chikamu chechakavanzika chaMwari, kuti Mwari anozvizivisa sei pano panyika achiusimudza neShoko, saka akazivisa kereke yake akaisimudza neShoko rimwechete. Chikamu chehushumiri hwake hwemabasa matatu.
Musarasike pane izvi. Muviri, zvakadaro, haugoni kuziva umwe musoro asi Shoko. Nekuti, Musoro wakabatana neMuviri, Musoro ndiwo Shoko, musoro mumwechete, ndiro Shoko rimwechete, Musoro mumwechete! Saka masangano, nemadzibaba matsvene, nezvimwe zvese, zvakafa. Kune musoro mumwechete, ndiye Kristu. Muviri unoziva musoro mumwechete, Shoko!
Hama Branham vaida kuti vanhu veMharidzo vazive hutungamiri hweMagwaro.
Kana Mwenga akaziva kuti Shoko ndiro Musoro wake wechokwadi. Kana Mwenga akadzorerwa kunonzwisisa Shoko rakanyorwa, zvakavanzika zvaMwari zvinopedziswa nguva yekuzunzwa neShoko remhere yepakati pehusiku inomutsa vasikana vanegumi vese, vakachenjera nemapenzi.
1965-0429 KUSARUDZWA KWEMWENGA
Kana, Mwenga wechokwadi akakwezva Mwari, nekuchengeta Shoko rake ...
Kana Mwenga wechokwadi pakupedzisira akatevera Magwaro akaita kunge kereke yeTestamente Itsva muzvitendero zvavo, Mutumwa mukuru anoburuka kuzomutsa vakafa.
Saka mumazuva anorasisa akaipa kudai kuchaitika kumutswa kwevakafa muTestamente Itsva kana Izwi reMutumwa mukuru ranzwika.
Ipapo kutinhira kunomwe kusingazivikamwe kunoreva manzwi ako kuratidza Mwenga anorarama kuti anoshanduka sei kubva mumiviri inowora kuita miviri isingavori. Ipapo ndipo pavanogona kutorwa kukwira kudenga.
1963 03 18 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Kutinhira kunomwe kwezaruriro ... dai aratidza Mwenga kuti ogadzirira sei kuwana kutenda kwekuti ashandurwe.
Ipapo kunouya kutinhira kunomwe kusina kubvira kwanyorwa zvachose. Ndizvo chaizvo. Ndinotenda kuti mukati mekutinhira kunomwe kuchaziviswa mumazuva ekupedzisira kuti Mwenga agadzirire kukwira kudenga.
63-03 24 CHISIMBISO CHECHINOMWE
Kutinhira kunomwe kudenga kuchazivisa zvakavanzika. Zvichave pakuuya kwaKristu, nekuti Kristu akati haazivi kuti achadzoka rini.
... chimwe chezvakavanzika cheChisimbiso ichocho, chikonzero nei chisina kuziviswa, kwaive kutinhira kunomwe kwakareva mazwi ako, zviripo zvakanakisa, nekuti hakuna chinoziva nezvako; zvaive zvisina kunyorwa.
Kutinhira kunomwe ndiko chakavanzika chakazara.
Kuchaita kuti Mwenga awane miviri mitsva kuti Mwenga agone kukwira kudenga. Kunopawo maprofita maviri evaIsraeri simba guru.
Zvino hwamanda yaMwari ichatidaidza kuti tikwire Kudenga. Ndiko kuchava kuuya kwaShe kwechipiri. Ndicho chisimbiso chechinomwe. Chakavanzika chikuru pasi nekudenga.
1963 0320 CHISIMBISO CHECHITATU
Muzuva rimwe Kutinhira kunomwe uku kusati kwareva, zvakavanzika zvese zvinoziviswa.
Hama Branham vainzwisisa zvakavanzika zveShoko rakanoyorwa. Asi hazvina kupedzisa hurongwa hwaMwari. Mwenga aifanira kunzwisisa zvakavanzika zvakanyorwa. Ipapo ndipo patinokwanisa kugamuchira Kutinhira kusina kunyorwa.
62- 1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA?
“Panguva yekuti Mutumwa wechinomwe anenge achinzwikwa, zvakavanzika zvese zvakanyorwa muBhuku zvichapedziswa.”
Hama Branham vainzwisisa zvakavanzika zvakanyorwa muMagwaro pakupera kwehushumiri hwake.
Parizvino tinofanira kugona kunzwisisa zvakavanzika zveShoko rakanyorwa.
(Tarirai Izwi rekuti Trump (Hwamanda). Ichi chiratidzo chenguva chekuti taswedera kumagumo.)
Hatigoni kuwana kutenda kwekukwira kudenga mumiviri yatinayo nhasi nekuti miviri iyi haigoni kukwira kudenga.
I VAKORINTE 15:50 Zvino hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka yovushe bwaMwari, nokuvora hakungagari nhaka yokusavora.
Kana muine ropa mumuviri wenyu hamugoni kuenda Kudenga mumuviri wamunawo.
Kutinhira kunomwe kucharonda Magwaro mukuvanzika kwako.
Vaya chete vanoziva Bhaibheri zvakazara kuti vaone nzira dzeMagwaro vachanzwisisa kutaura kwako votungamirirwa nako. Nhengo dzemwenga chete ndidzo dzine miviri ichashandurwa. Vamwe vese vemaKristu vachange vari vasikana mapenzi vakanyengerwa nemakereke avo vachapinda munguva yeKutambudzika kukuru. Ndiwo magumo chete evanhu vanenge vachiri mumiviri ino panouya Ishe. Boka rinosiiwa.
Kutinhira kunomwe kunosunungura simba guru reMweya.
Mwenga anotorwa kukwira Kudenga maprofita maviri kumaJuda Mosesi naErija, vanogamuchira simba rinoshamisa kuti vakanganise mamiriro ezvinhu panyika.
63- 0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Ipapo kuchauya kutinhira kunomwe kwakavanzika kusina kana kunyorwa. Ndizvo chaizvo. Ndinotenda kuti mukati mekutinhira kunomwe kuchaziviswa mumazuva ekupedzisira kuti Mwenga aunganidzwe kuti awane kutenda kwekukwira Kudenga; nekuti chatinacho nhasi, hatizogoni kuzviita. Kune zvatinofanira kuwedzera kuita; hatitogoni kuwana kutenda kwakakwana kwekuponeswa. Tinofanira kuwana kutenda kwakakwana kuti tishandurwe muchinguvana totsvairwa kubva panyika, tozoona kuti pashure pechinguva, Ishe vachida, tsvagai pazvakanyorwa.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Kutinhira kunomwe kwezaruriro ... dai aratidza Mwenga kuti ogadzirira sei kushandurwa kukuru.
Mwenga paanenge atorwa kukwira Kudenga nyika nevasikana mapenzi maKristu akaponeswa vari mumapoka akasiyana siyana emakereke, vanopinda munguva yeKutambudzika.
Mwenga anopesana neKutambudzika kukuru kana aKudenga paChirayiro cheMuchato.
Vachadzoka naJesu pakupedzisira kwenguva yeKutambudzika vachiuya kuhondo yeAmagedhoni ichange iri dziva reropa.
Mweya Mutsvene ndiwo Hupenyu. Kana Mweya Mutsvene ukabva panyika pakukwira kudenga mukubwaira kweziso, Hupenyu hunobuda Rufu rwopinda panyika apo Satani anoratidzirwa muna Pope wekupedzisira.
Mwenga kana kuti vasikana vakachenjera vane mafuta anogona kutungidzwa kuti mwenje kana kuti chiedza chivepo. Saka vanogona kuona kana kunzwisisa zvakanyorwa muBhaibheri.
Kereke kana vasikana mapenzi havana mafuta. Mapenzi zvinoreva kuti vakanyengerwa. Saka havagoni kuona pasina chiedza saka havagoni kunzwisisa zvakawanda zveBhaibheri.
Zvinosuwisa, vaida kwazvo kereke dzavo kudarika Bhaibheri.
Vakaponeswa asi vakanyengerwa panhau yenguva yekuguma. Zvakadaro vachange vasina kugadzirira kuuya kwaShe.
Kukanganisa kwavo kukuru kwaive kutenda kuti nekuti vakatendeuka vakaponeswa kubva kugehena, vachangokwira kudenga Mukubwaira kweziso (Repucha). Saka havana kubvira vatsvaga pamusoro pehushumiri hwemuprofita wenguva yekupedzisira. Vatungamiri vemakereke vanoisa zvakaprofitwa zvese zvenguva nomwe dzemakereke munguva yekutambudzika, nekudaro vakaresva zvakaprofitwa izvi zvese.
Vakafuratirawo Magwaro akaita seekuti:
VAFIRIPI 2:12 ... Pedzisai kuponeswa kwenyu nekutya nekudedera.
MATEO 10:22 Asi unotsungirira kusvika pakuguma uchaponeswa.
Izvi hazvigoni kutaura ruponeso kuva kugehena sezvo zvichizoreva kuti ruponeso rwedu runobva pamabasa.
Mavhesi aya anotaura pamusoro pekuda kwedu kuponeswa kubva kunguva yeKutambudzika iri kuuya.
Tinofanira kunzwisisa zvakavanzika zveShoko rakanyorwa muBhaibheri, zvakaziviswa nemuprofita wenguva yekupedzisira William Branham, kana tichizoziva zvakakwana kuti tipunyuke nguva yeKutambudzika.
Kusaziva Bhaibheri kukanganisa kukuru sezvo kuchisiya tiri panjodzi yekunyengerwa.
HOSEA 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo.
Saka vasikana mapenzi, vakaponeswa asi havazivi Bhaibheri, vanoguma vapinda munguva yeKutambudzika zvinosuwisa voita kereke yakanyengerwa.
Ngatiti tiri pamberi muzvikamu zvenguva kusvika panguva iyo Mwenga anenge atorwa kukwira Kudenga kuChirayiro cheMuchato neGwaiana.
Tinobva tatarisa pavanhu nezviitiko zvenguva yeKutambudzika tobatanidza Magwaro nepatinogona napo.
I VAKORINTE 13:12 Nokuti zvino tinovona pachivoni voni, tisingavoni kwazvo.
Kuwona muchivoni voni tisingawoni kwazvo kunozivisa zvimwe zvinhu, asi zvisina kunyatsojeka.
Mwari akaudza hama Branham kuti vasiye Kutinhira kunomwe sezvo kuchishanda kumaJuda chete.
64-0719M MUTAMBO WEHWAMANDA
Zvino, ndaive ndichiverengera kwenguva yakati kuti kutaura pamusoro penyaya iyi yeHwamanda nomwe muBhuku raZvakazarurwa. Zvino ndakuzivisa kuti, muchinguvana, kuzivisa chikonzero nei ndisina kutaura nezvazvo nguva ino, nekuti Mweya Mutsvene hauna kunditendera panguva ino pamusoro pezvinhu izvi.
Nguva yekutambudzika haizi yeMwenga nekuti anopunyuka kwairi.
Asi ngatiedzei kutarisisa mimwe minongedzo apo isu vanhu tine shungu kwazvo dzekuziva zviri munguva inouya.
Mutambi mukuru munhandare achange ari chikara muprofita wenhema.
Muprofita wenhema ndiye Pope sezvo ari muprofita wechitendero chenhema.
Chikara isimba rinoita kuti vanhu vanamate munhu kumuita Mwari. Pope ndiye musoro wekereke yeRoman Catholic iyi.
Saka Pope ane mweya miviri, chikara nemuprofita wenhema. Vanotenda kuTiriniti havagoni kutenda sezvo vachidzidziswa kuti Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene Vanhu vatatu vakasiyana. Saka vachapesana naPope waantikristu wekupedzisira sezvo achave munhu mumwechete, kwete vaviri. Asi achapikiswa nemaprofita maviri evaJuda saka vanhu vanotenda kuTiriniti vachatenda kuti Mosesi naErija ndivo zvikara nemaprofita enhema. Saka vanorasika zvakanyanya pakutanga kwenguva yeKutambudzika kukuru.
Kuchaita vadzvanyiriri gumi vakapararira pasi rese. Simba ravo remauto rinogonesa Pope waantikristu kuronda nekuparadza vasikana mapenzi vakaponeswa nguva yeKutambudzika isati yatanga. Saka kuurairwa zvitendero kwakanosangana nezvematongerwo enyika zvine hutsinye mukati.
Vasikana mapenzi, maKristu akaponeswa akazvirereka vakanyengerwa nemakereke avo nevakuru vemakereke avo. Vakagamuchira kushaiwa zivo yeMagwaro kwemakereke avo pavakatenda kuti kuchengetedzeka kwavo kunobva pakuenda kukereke nguva dzese. Asi mukushamisika kukuru, vakazviwana vari munguva yeKutambudzika. Ndiko kuchava kumutswa kukuru kwavari. Vachaona hunyengeri hwemakereke avo netsika dzawo. Vachiramba makereke avo nevakuru vemakereke avo vavakatevera mukusaziva, vanobva varamba kutora chiratidzo chechikara. Ndiko kutongerwa rufu kwavanobva vaitwa.
64-0719 KUDARIKIRA CHIVANZE
Zvino ndinoti, Muzita raJesu Kristu! Mwari umwe anonzi nenyika ino ndiye, nyika inotevera chitendero, Mwari wavanoti vanobatira achavaparadza muzvitema zvavo. Achaparadza masangano ese kubva pachiso chenyika, wavanoti vanobatira.
Kunewo kuitwa vatendi nevasingatendi mumasangano. Vanoenda kukereke nguva nenguva asi vasina kuponeswa. Ava ndivo vanoenda kumakereke zvavowo. Vakagamuchira kuti mune zvakakanganiswa muBhaibheri uye vanovimba kuti ruponeso rwavo runobva pakuenda kukereke nguva dzese. Kana vapinda munguva yeKutambudzika vachatora chiratidzo chechikara kuti vaedze kuzviponesa. Vanobva vapindawo pakuuraiwa kunenge kwekupenga kwevaya maKristu akaponeswa vakaramba kutora chiratidzo chechikara. Izvi zvinoita kuti vatongerwe kuenda kuDziva roMoto.
Kunewo vaHedeni. Vasingatendi kuBhaibheri. Vamwe vakanzwa vakaramba chokwadi vamwewo havana kubvira vanzwa Evangeri.
Kune maJuda mamiriyoni 18 vanofanira kudzokera vese kuIsraeri. Vanenge mamiriyoni masere chete ndivo vari muIsraeri nhasi uno. Hwamanda nomwe muBhuku raZvakazarurwa zviitiko zvenjodzi dzepanyika zvichadaida maJuda kuti adzokere muIsraeri. Mwari ane zano rakasarudzika raakagadzirira maJuda 144,000. maprofita makuru maviri, Mosesi naErija, vachasimudzwa kuti vavaunze kunogamuchira Jesu saMessiasi.
Ngatitangei nekereke yakanyengerwa.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Mhandara (musikana) mucherechedzo wemukadzi akachena, kereke yakaponeswa.
II VAKORINTE 11:2 Nokuti ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari, nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
Vasikana mapenzi vakaponeswa vaive vakarurama asi vasingazivi Magwaro akakwana sezvo vaisanyanya kukoshesa Bhaibheri. Vaive nehunyope vakavarairwa zvavo muzvikamu zvekunzwisisa Magwaro. Vakagadzira kutaura kwakaita sekwekuti, “Ndofanira kuziva here?”, kana kuti “Hazvina kukosha kungori kutaurawo”, kana kuti, “Mune kurwisana kurimo muBhaibheri”. Kuti vaonekwe sevakangwara, vaitendawo mutsananguro dzesainzi dzakaita seKushanduka kwevanhu vachibva kumhuka kana Big Bang inorwisa Magwaro, vasingazivi kuti tsananguro idzi dzese dzine kukanganisa kukuru.
I TIMOTIO 6:20 Iwe Timotio chengeta icho chawakapiwa; ufuratire kutaura kusine hanya naMwari nokuramba kunobva kuzivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo.
21 Iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda.
Purofesa Alan Guth neakatora mukombe weNobel Steven Weinberg vakapa kukosha kutsananguro yeBig Bang yekusikwa kwenyika. Inonzi dhaki meta musainzi nedhaki eneji kana simba rerima zvakawanikwa. Zvinoita 96% yezvinhu zvese. Big Bang haina kubvira yafungidzira nezvazvo uye havakwanisi kuzvitsanangura. Zvikamu zvina muzana zvinoonekwa mazviri zvikamu 3,6 zviri munzvimbo dzenyeredzi. Saka zvakadaro, Big bang inogona kuedza kutsanangura 0,4% yezvinhu zvese. Zvinonzwisa tsitsi nekuti mune kumwe kukanganisa mutsananguro idzi. Asi Big Bang inosiya 96% yezvinhu zvese isina kutsanangurwa saka chero nyanzvi dzakaita saProfesa Weinberg naGuth (vesainzi vepamusoro- soro) vakazvisudurudza kubva kutsananguro yeBig Bang.
Kana sainzi dzikapikisa Bhaibheri, tsananguro dzesainzi idzodzo dzinenge dzakaipa. Asi vakawanda vanoenda kumakereke vakanyengerwa kusvika pakufunga kuti tsananguro dzesainzi ndedzechokwadi saka Bhaibheri rakakanganiswa.
Asi Jesu ndiye Shoko saka zvese zvaitaurwa nevanhu pamusoro peBhaibheri, vaitaura pamusoro paJesu.
Asi hapana chavaiona chakaipa pamusoro pekereke yavo. Ndosaka vakagara mukereke yavo.
Saka pasi pemoyo yavo vaida makereke avo kudarika kuda kwavaiita Bhaibheri.
Mukereke munewo vasina kuponeswa vanoita vatendi nevasingatendi.
Muna 2019 kwaive nevanhu vanotenda muchiCatholic maive nevatendi vanokwana 1,4 biriyoni nevanoipikisa vanokwana o,9 biriyoni kuburitsa vanhu vanosvika 2,3 biriyoni vanoenda kumakereke. Vanhu ava vanoda kusvika kota yevanhu vese vari panyika.
Vashoma ndivo vachakwira kudenga Mukubwaira kweziso.
MATEO 7:14 Nokuti suvo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.
Saka chii chinoitika kuruzhinji rwese rwevanoenda kukereke vanenge vasara?
Tarisai zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chevushe Kudenga.
Ngatitarisei Zvisimbiso zvina.
Izvi zvinobata nguva yekereke yechinomwe yenguva yegondo muvhesi 7 zvoenda mberi kunopinda munguva yeKutambudzika muvhesi 8.
ZVAKAZARURWA 6:7 Wakati azarura chisimboso chechina, ndikanzwa izwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya!
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; vuye hadhesi rakamutevera , Ivo vakapiwa simba pamusoro pochechina chenyika kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Mweya Mutsvene Hupenyu akaenda neMwenga wake pakukwira Kudenga mukubwaira kweziso pakupedzisira kwekereke yechinomwe.
Izvi zvinomiririrwa nevhesi 7 umo izwi rehama Branham rakatapwa pamakaseti rinotipa muonero wegondo muzvakavanzika zveMagwaro kuti tigone kuona zvakanyorwa muMagwaro nekunzwisisa Bhaibheri.
Hupenyu hunobva panyika neMwenga rufu rwopindira.
Kota (chechina) yerudzi rwevanhu inoenda kukereke, vose vakaponeswa nevasina kuponeswa.
Izvi zvinoita sekuti ndivo vakanangwa pakutanga naPope waantikristu.
Satani achapinda mumunhu uyu sekupinda kwaakaita muna Judasi.
RUKA 22:3 Zvino Satani wakapinda kuna Judasi.
Pope wekupedzisira anenge ari rufu rwakafuka muviri wemunhu. Anouraya kota yevanhu vepasi rese. Asi kota yevanhu vepasi rese vanozviti maKristu.
Saka zvinoita sekuti vanenge vasara mukereke ndivo vaanotanga navo.
Izvi zvinotaurawo kuti vashoma kwazvo vachakunda kutorwa kukwira Kudenga mukubwaira kweziso vari mwenga.
Ngatitarisei zvishoma pana Pope waantikristu.
DANIERI 11:21 "Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
Pope wekupedzisira achange asina kusarudzwa kuti aite Pope neKanzuru yemaKadhinari vanogarosarudza munhu anokudzwa panzvimbo iyoyo vachitora umwechete wemakadhinari ari pakati pavo.
Kana mhere yepakati pevusiku ikamutsa vanhu vese vemumakereke inenge iri bata wabata pasi rese, nyika inobva yapinda panzvimbo yekushaiwa zororo nekutambudzika munezvemari. Vanhu vanenge vakuda kwazvo munhu anovapa zororo mabasa nemari. Achinyepera kuva munhu anogona kupa rugare munguva dzematambudziko akadzama panyika anonyengera otora nzvimbo yaPope wekereke yeRoman Catholic kana kuti Pontiff wezvakavanzika zveBabironi nechisimba.
Chinzvimbo ichi chinomupa simba guru munezvechitendero nezvematongerwo enyika kuti awane pekutangira. Ndarama zhinji nematura emari ekereke yeRoman Catholic zvinomupa simba nekurudziro pasi rese.
Ngatitarisei zvishoma Hushe hweRoma hwakazoshanduka kana kusimuka kuita kereke yeRoman Catholic.
Kesari aive mudzvanyiriri aitonga hushe hweRoma. Marudzi evatorwa akaparadza hushe hweRoma marudzi gumi pamarudzi evatorwa aya akabatsira kereke yeRoman Catholic kuti isimuke kubva mumatongo ehushe hwenyika yeRoma kusvikira Pope atora simba rekutonga Kesari aivepo.
Munguva yeKutambudzika vadzvanyiriri gumi vachapa simba guru remauto kuna Pope waantikristu kuti agone kutonga nyika.
Renje rine vanhu vashoma kwazvo. Saka kana muchida kuziva chokwadi munoshaya mbiri.
ZVAKAZARURWA 17:3 Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi.
Mukadzi mucherechedzo wekereke. Kereke yechokwadi inodaidzwa kuti Mwenga. Chikara isimba. Simba rekuita kuti vanhu vanamate munhu saMwari. Vabati veRoma vaidaidzwa kuti Kesari. VaRoma vaipisira mubati zvinonhuwira vachitaura kuti, “Kesari ndiShe”. Makadhinari, vanobata kereke yeRoman Catholic vane simba guru “seMachinda eKereke” pasi paPope vakapfeka nguvo shava.
Pano mufananidzo waPope akashonga nguvo shava.
ZVAKAZARURWA 17:4 Mukadzi wakanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama nemabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake makange muinomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe hwake.
Mabhishopu anopfeka nguvo tsvuku.
Ndarama nezvishongo zvendarama zvakadirwa mumatura eVatican mukati memasenturi zvawandisa. Ndiro bato rakapfumisisa pasi rese. Mukombe kana komichi ndidzo dzidziso dzakabatwa nekereke ichipa kunyika. Muna 1302 Pope akataura kuti hakuna ruponeso kunze kwekereke yeRoma. Johane anoona izvi zvese senyangadzi.
Mugore 1825 Pope Leo 12 vakagadzira menduru inoratidza kereke yeCatholic iri mukadzi akabata komichi.
Akagara “panyika yose” sekuti “ndicho chigaro chake”. Izvi zvinoratidza kuti maPope akagara akaronga kutonga pasi rese. Ndicho chinangwa chavo chekupedzisira.
Kereke yeCatholic inoti Petro ndiye Pope wekutanga. Asi kuruponeso Petro akati:
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
Petro paakaona murume aive chirema akati:
MABASA 3:6 Asi Petro akati: Sirveri nendarama handina; asi chandinacho ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.
Kereke yeCatholic yanhasi haigoni kuti “Sirveri nendarama handina”.
ZVAKAZARURWA 17:5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.
Zvakavanzika zveBabironi zvakapinda mukereke yeRoman Catholic makore akapoteredza 380 AD mubati weRoma Gratian paakaramba kuita Pontiff nekuti aive muKristu. Mugore 380 mubati weRoma Theodosius naGratian vakataura nezvaDamasusi vachiti “Pontifex”, zvinoreva zvakare kuti Pontiff. Damasus Bhishopu weRoma kubva muna 366 – 384 akatora chinzvimbo akaisa chiprista cheBabironi pazvinzvimbo zvepa musoro mukereke. Damasusi akauraya vapikisi 137 kuti atore chinzvimbo chaPope muna 366 AD. Saka chiprista cheBabironi yakavanzika chakatora mufananidzo wekereke yeRoman Catholic Damasusi paakaitwa Pontiff.
Ngatiitei setamboti budei munzira.
Mifananidzo minomwe yeHushe hweDenga kuna Mateo inotsanangura nguva nomwe dzemakereke.
Nguva yekereke yechitatu yakatanga kubva mugore rinenge 312 AD Constantine paakamisa kuurayiwa kwemaKristu kusvika gore rinege 606 AD Pope Bonface 3 pavakaitwa Bishopu pamusoro pemakereke ese.
Ngatitarisei mufananidzo wechitatu unotsanangura kereke yechitatu.
MATEO 13:31 Wakaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo achiti, Vushe hwokudenga hwakafanana netsanga yembeu yemastarda yakatorwa nomunhu akaidzvara mumunda make.
32 Iyo iduku kumbeu dzose asi kana yakura ihuru pamirivo yose. Inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzokudenga dzinovuya dzichigara pamatavi awo.
Nekuda kwekuurayiwa vanhu vekereke yekutanga vainyanya kusangana mudzimba kana mumakatakombu aive mwena yakaitwa pasi peguta reRoma. MaKristu aive mapoka maduku pakutanga. Zvino kereke yeRoma, nekuti yaive yatangwa nemubati, yakakura kuita bato guru rine hupfumi nezvivakwa zvarakapihwa nevabati. Nekukasika kwakanga kwane zvinzvimbo zvepamusoro soro mubato rekereke zvakaita sezvaPope, Kadhinari, achibhishopu, bhishopu nezvimwe zvakadaro. Izvi zvaimiririrwa nemapazi mumuti.
Zvinzvimbo izvi zvakagarwa neshiri.
MATEO 13:4 Zvino pakukusha kwake dzimwe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya.
MATEO 13:19 Kana munhu akanzwa shoko rovushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
I JOHANE 3:12 Tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akavuraya munununa wake. Wakamuvurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun’una wake akanga akarurama.
Asi shiri dzinobhururukira pamapazi micherechedzo yemadhimoni. Wakaipa ndiSatani akapinda mumhuka yakazotukwa ikashandurwa kuitwa nyoka nemuna Judasi, aive mutngamiri wekereke aibata mari.
Saka kusimuka kweVatican sebato guru kunobva pamaitiro emabhizimisi asimo muMagwaro kwaive kwakakosha kwazvo kuitira zano raSatani kuti antikristu wekupedzisira atore bato repasi rese rezvechitendero nezvematongerwo enyika. Musakanganwe nhava yemari yaJudasi. Madhinoni anokura pane mari zhinji mumapato emakereke. Kereke yeCatholic ndiyo yakapfumisisa pasi rese.
Imwe kiyi inotevera pakurudziro ina Pope pasi rese, chero pamusoro pevemasangano anopikisa chiCatholic vanofunga kuti vakasununguka kubva kuRoman Catholic, iTiriniti. Yakagadzirwa nemaCatholic ikatendwa zvakanakisa nevemasangano.
Nguva yekereke yechina yaive kubva mugore 606 - 1520 apo Rumutsiridzo rwaMartin Luther rwakatanga muGermany. Kereke yeRoman Catholic yakatonga Europe muNguva dzeRima idzodzo. Nguva yekereke yechina Zvakazarurwa Chitsauko 2 inodaidzwa kuti Tiyatira zvinoreva kuti mukadzi anotonga.
MATEO 13:33 Akavavudza mumwe mufananidzo akati, Vushe hwokudenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvovupfu kusvikira hwose hwaviriswa.
Mumazuva iwayo munhu wese akafunga kuti kereke yeRoma yaive hushe hweDenga nekuti vakaramba vachiparadza hupikisi hwese kuti vasare vari kereke imwechete chete.
Mbiriso yakawodzwa. Mbiriso ndiyo inovidza nekuwodza mukuita izvi inoburitsa mweya wekabhoni dhayokisaidhi unovidza chingwa kuti chifute. “Kuvidza” kwakaipa. Mwari anoshanda mukuzvirereka, kunomiririrwa nechingwa chisina kufuta.
Mukadzi ndiye kereke yeCatholic. Kristu ndiye Chingwa cheHupenyu. Saka chekudya ndiro Shoko raMwari ratinogutsa mweya yedu. Kereke yeCatholic yakatora Bhaibheri nehungwaru ikapfekera kuwora kweTiriniti yechipegani muMagwaro. Kuita uku kwakavatorera mazana emakore. Vakabva vashandisa mamisheni kupinda muEurope nemamishinari avo aive nesimba kwazvo vakanogona kukurudzira marudzi evatorwa ese akanga apamba hushe hweRoma kuti kwaive naMwari wetiriniti. Saka Mwari akarasikirwa nezita rake sezvo vasina kukwanisa kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu. Saka vakaramba vachidzokororoa kuti “Muzita raBaba Mwanakomana naMweya Mutsvene”. Kudzokorora kusina magumo kwakavanyengera kuti iri raive Zita raMwari. Vakabva vagona kunyengera vakavapikisa vaya vaiti havateveri tsika nezvitendero zveRoma. Izvozvi vanotovenga munhu anotaura kuti Jesu Kristu ndiro Zita raMwari. Asi Jesu ndiro zita raMwari paakava munhu.
MATEO 24:9 Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuvurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.
Vakabva vashandura rubapatidzo rwemvura vakaruisa mumazita ezvinzvimbo zvitatu. Kunyangedai rubapatidzo ruri mucherechedzo wekufa kuvigwa nekumuka kwaJesu, Baba naMweya Mutsvene havana kufa kana kuvigwa.
ZVAKAZARURWA 17:6 Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, vuye neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru.
Makumi emamiriyoni evapikisi vekereke yeRoman Catholic vakaurayiwa nekereke yeRoma munguva dzeRima nedzimwe nguva dzemutsiridzo dzakatevera vachiurayira kupikisa Rumutsiridzo. Asi Johane akakatyamadzwa nezvivakwa zveVatican nemhemberero dzinodakadza zvinoitwa ikoko. Nguwo dzakanakisa nezvishongo zvendarama zvinoshongwa nevanhu nemifananidzo iriko.
Jurio Kesari ndiye munhu akaparadza hushe hwenyika yeRoma akaishandura kuita nyika yehudzvanyiriri yakazova nyika yakatongwa nemunhu mumwechete. Kesari akabhadhara chioko muhomwe kumaprista eBhabhironi kuti vamusarudze kuti ave Pontifex maximus kana kuti Pontiff mukuru mugore 63 BC. Mhuri yake yakaita iyo vabati vekutanga vehushe hweRoma. Augustus. Tiberius. Carigura. Kraudi. Kuchizouya Nero akapisa Roma mugore 64 AD akapomera nekuuraya maKristu. Nero akasungisa Johane mutorongo yekuchitsuwa chePatmosi. Paakafa mugore 68 AD vasungwa vake vese vaive vasungirwa zvematongerwo enyika, kusanganisa Johane, vakabva vaburitswa. [Domitian paakaitwa mubati kubva muna 81 kusvika muna 96 AD akarwadzisawo kusunga nekuuraya maKristu. Johane akasungwa zvakare paPatmosi akabikwa mumafuta (asi akararama!) asati aburitswa muna 96 AD pakafa Domitian. Saka Bhuku raZvakazarurwa rakanyorwa mukati mezvikamu zviviri zvenguva. Mumazuva aNero Tembere yaive ichiri yakamira sezvo yakazoparadzwa muna AD 70 nemukuru wemauto weRomaTito. Aive muchinda sezvo baba vake Vaspasian aive mubati.]
ZVAKAZARURWA 17:9 Ndipo panokufunga kunenjere. Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi.
Huchenjeri ndihwo chipo chikuru cheMweya. Simba rekuyananisa Magwaro pamwechete nenzira inozivisa nhorondo yerudzi rwevanhu. Roma ndiro guta rakatanga kuvakwa pamusoro pezvikomo zvinomwe. Roma inotongwa nemukadzi mucherechedzo wekereke yeRoman Catholic.
ZVAKAZARURWA 17:10 Ndiwo madzimambo manomwe; vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva chiduku.
Jurio Kesari akaparadza hushe hweRoma akatanga hushe hwehudzvanyiriri hwaakatonga iye nevamwe vashanu vedzinza rake vakatonga sevabati. Kesari. Augustus. Tiberio. Karigura. Kiraudi. Vashanu ava vaive vafa. Mubati aitonga nguva iyi aive Nero. Aizoita Kesari wekupedzisira mumhuri iyi. Paakafa mukuru wemauto Gariba akatora chigaro chemubati nechisimba. Asi akangogara mwedzi minomwe asati auraiwa.
ZVAKAZARURWA 17:11 Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
Chikara chaicho kana kuti simba ikereke yeRoman Catholic. Chechisere chiitiko chitsva. Kereke yakakura kubva mumatongo ehushe hweRoma yechipegani ikatora hunhu hwechipegani iri yekuita kwehushe hweRoma. Ichitongwa nemudzvanyiriri aive Pontiff wezvakavanzika zveBabironi sezvaive Kesari. Vachiuraya maKristu sezvaiitwa naNero. Pope ndiye ega mudzvanyiriri ariko nhasi uno muErope.
Kusimudzira Pope achinzi haatadzi sezvakaitwa nemaRoma kuvabati vavo pavakati, “Kesari ndiShe.”
Pope akanzi haatadzi nekanzuru yeVatican yekutanga muna 1870. kusatadza kunoita kuti Pope aenzane naMwari.
Kubudirira kwekereke yeRoma kunobva pakutsiviwa kwemaPope kwavanoti kwakatanga naPetro. Uyu ndiwo mutsetse mukurusa wevatongi pasi rese, unorondwa kunosvika kumakore 2000.
Vapikisi vekereke yeRoma muna 1948 vakatanga kanzuru yemakereke pasi rese kuti vaite boka rehupikisi hwepasi rese asi vachishandisa mufananidzo wekereke yepasi rese yeRoman Catholic.
63-1124 NDOITEI NAJESU ANONZI KRISTU
“Vakabva vaita mufananidzo wechikara”. Kubatanidza masangano epasi rese kuita mupikisi mumwechete, vachiita chiratidzo chechikara, mufananidzo wechikara, zvichibva kuna Zvakazaruwa 13:8. “vakaitira chikara mufananidzo.”
Chikara “iRoma.”
ZVAKAZARURWA 17:11 Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa.
“Chikara chaivepo”.
Munhorondo yekereke, kereke yeRoma inoti kwakagara kuine kereke yeRoma yakatangwa naPetro. Vanoti ndivo kereke hurusa yachemberesa saka ndivo mai vemakereke.
Chikara ichi kana kuti simba iri ndiro simba rinoita kuti vanhu vanamate munhu vachimuita Mwari.
VaRoma vechipegani vakatanga tsika yekunamatwa kwevabati. Izvi zvakatungamirira pakusimudzirwa kwaPope “panzvimbo paKristu”. Vicarius Kristu” ndicho chimwe chezvinzvimbo zvake. Zvakafanana nekunamata vabati zvakatangwa nevanhu vekuJapani. Kereke yeRoma inoti makereke akaipandukira vanasikana vayo vakabuda munamai vemakereke munguva dzeMutsiridzo. Asi Bhaibheri rinoti vanasikana vayo vakapanduka imhombwewo dzinosiya murume wadzo, Shoko, kunopomba nedzidziso dzakaitwa nevanhu dzakaita seTiriniti, Kisimusi, rubapatidzo rwemvura mumazita ezvinzvimbo, nekuisa hutungamiriri hwekereke mumunhu umwechete.
Saka kuita kwemapato emakereke chimiro chekuvodzwa nekuparadzwa pamweya.
“Hachichipo”.
Kereke yeRoma ichaguma. Izvi zvichaitika munguva yeKutambudzika pachakandwa bhomba reatomi panyika pamusoro peVatican.
Mweya waDiaborosi unopinda muna Pope wekupedzisira kuti ushandise kereke yeRoma kuwana simba pasi rese nekubatana nevemasangano anopikisa vari pasi payo. Anozoparadza vasikana mapenzi nevanoenda kumakereke asi vasingatevere Shoko zvakazar’a. Achaparadza Vatican sezvo chinangwa chake chaicho chiri pakuparadza Jerusarema kwaanobva azoenda apedza apa. Satani anoshandisa vanhu nemapato obva amaparadza kana apedza nawo. Kupandukirana ndiko kuita kwake.
“Chikara chaivepo hachichisipo” zvinoreva kuti Vatican ichaguma. Ichapiswa mumoto wenyukiriya.
Tarisai hapana kutaurwa nezvenguva ichauya panonzi “chaivepo hachichipo”. Saka hakuna ramangwana mukereke yeRoman Catholic. Ichaparadzwa munguva yeKutambudzika kukuru.
Hama Branham vakaona magumo mamwechete pamusoro peAmerica yekumusoro inovaka kanzuru yemakereke yepasi rese vemasangano anopikisa pava notor a mufananidzo wechikara cheRoma.
Rangarirai mugore 1963 apo hama Branham vakazivisa zviSimbiso zvitanhatu zvekutanga, vose Pope nemutungamiri wenyika yeAmerica ainamata Roman Catholic, John Kennedy, vakabva vafa. Chiedza chezaruriro idzi chaive chakajekesa kuvatongi verima. Kuparadzwa kweRoma neAmerica kwakayananiswa.
Chii chagonesa kereke yeRoman Catholic kurarama kwenguva yakarebesa kudai? Chiprista chekutanga chezvakavanzika zveBabironi yechipegani zvaive nemutungamiri, Pontiff, aive chikamu chemutsetse mukuru wekutsiviwa kwemaPope tichidzokera shure kusvika kuna Nimrodi, munhu akatanga kumukira Mwari. Mutsetse murefu wemapontiff aitonga uyu wakagonesa zvakavanzika zveBabironi kuti zvirarame.
Kereke yeRoma ine mbiri yekugona kupunyuka zvizhinji inotaura kuti maPontiff avo nemaPope akaita mutsetse mukuru wevanotsivana zvichirondwa kudzokera kunosvika kuna Petro. Vanoti Petro ane makiyi eDenga uye achazarura masuwo edenga kana muchizviwisira kuna Pope. Mugore 1302 vakataura kuti kwaive kusina ruponeso kunze kwekereke yeRoman Catholic.
Vemasangano akapikisa Roma vakawanda vanotendawo kuti kana nhengo dzavo dzikabva kwavari, vanhu ivavo vanege vatoraasika. Saka mweya weCatholic wakapararira.
Asi Roman Catholic inovaka zvitendero zvayo mugomba rakadzika dzika remafungiro evanhu nemadhimoni. Havavakiri panheyo dzekubatanidza mavhesi eBhaibheri pamwechete.
ZVAKAZARURWA 17:8 Chikara chawavona, chaiva po, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo.
Asi nyika inoyemura mitambo yeCatholic inodakadza nezvivakwa zvayo nesimba rayo rekugona kupona mushanduko dzese dzakawandisa mukati menguva dzemakereke.
Kiyi yekuratidzira kwavo kunodakadza uku mutsetse wemaPope usingagoni kugurwa kana kuparadzwa unoti iwo uripo kutsiva Petro.
Pope ndiye munhu mukuru wepamusoro soro anomiririra kereke yeCatholic.
“Chikara chaivepo”. Kana uchitenda kutaura kwekuti Petro aive Pope wekutanga zvinenge zvichireva kuti kwagara kwaive naPope kubva pakutanga kwekereke.
“Hachichipo”. Pope anofa.
“Chichazovapo”. Pope mutsva anosarudzwa. Nzira yavo yekuramba vachisarudza mutungamiri mutsva ndiyo yakavaita mutsetse mukurusa wevatongi wepanyika.
Mufananidzo uyu unoratidza muzvezve wenyoka, vakamirira musoro wavo wekupedzisira, Pope waantikristu.
Chakavanzika kusimba ravo chiri muchinzvimbo “chaPope”. Kwete mumazita avo vakazvimiririra.
Vatican ndiyo Babironi yakavanzika, musha wekupedzisira wechiprista chakare cheBabironi nezvakavanzika zvayo zvakaparidzwa neVatican pakati pemakereke emasangano akaipikisa kuti inyengere nyika.
ZVAKAZARURWA 18:2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru, yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina dzinovengwa.
Mumufananidzo wemukushi kuna Mateo Chitsauko 13, shiri dzakatora mbeu yechokwadi cheBhaibheri kubva pavhu rakaoma (moyo yevanhu yakaoma). Kunyengera kunoita zvinhu zviviri zvakaipa. Kunotiita kuti titende muzvinhu zvakaipa uyezve, zvakaipa kudarika izvozvo, kunotiita kuti tivenge chokwadi. Tinorwira kutadza kwedu nekuramba chokwadi. Dambudziko rakapetwa.
ISAYA 5:20 Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava!
Shiri dzakaipa idzi dzinogara mudenga sevatungamiri vemakereke mumasangano makuru akarongwa nevanhu.
ZVAKAZARURWA 18:8 Saka madambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, unesimba.
Nezuva rimwe. Kuparadzwa kwakazara nemoto. Takaona izvi paHiroshima nepaNagasaki uko guta rimwe rakaparadzwa nebhomba rimwechete. Mabhomba eatomi aya aive nesimba shoma kwazvo rakakurirwa kanopetwa zviuru zvemazana kudarikwa nemabhomba enyukiriya ariko nhasi uno.
ZVAKAZARURWA 18:9 Madzimambo enyika, akaita vupombwe nokuzvifadza naro, acharira nokuchema pamusoro paro, kana achivona vutsi bwokupiswa kwaro;
“Vupombwe” zvinoreva kuti chivi chinoitwa kunze kwewanano. Saka Kristu haana kubvira atora kereke yeRoman Catholic semwenga wake.
Dai kereke yeCatholic yaive mwenga wake aizoipomera hupombe.
Vanhu vanochema asi vamire nechekure. Nekuda kwei vasingadzimi moto? Nekuda kwesimba guru rinopisa rinobva paputika nyukiriya. Mukaswedera pedyo nenzvimbo inenge yaputikira bhomba renyukiriya unoparadzwa mitezo yekufema nekuziva rufu rwotevera pakarepo. Munotofanira kumirira kusvika simba rebhomba rapera.
ZVAKAZARURWA 18:10 Ivo vamire kure nokutya kurwadzwa kwaro, vachiti: Nhamo, nhamo, newe, guta guru, iwe Bhabhironi, guta rakasimba! Nokuti kutongwa kwako kwakasvika nenguva imwe.
Simba rekupisa kunobva pakuputika kwenyukiriya rinokuvadza. Vanhu vaitomira vapererwa vari nechekure. Asi kuputika kwenyukiriya kunehutsinye kunopedzisa zvese. Ndicho chombo chakaipisisa pahondo. Kereke yeRoma yakauraya makumi emamiriyoni muNguva dzeRima nemakano nemapfumo nezvimwe zvombo. Asi parizvino chombo chine simba kwazvochakagadzirwa, bhomba renyukiriya, rinoparadza Vatican. Chaunodyara unochikohwa.
60-1208 NGUVA YEKEREKE YETIYATIRA
Mwari akaronga komiyunizimu sezvakaitwa naNebukadinezari kuti aparadze Israeri. Akasimudza komiyunizimu, rimwe zuva achaparadza Roma kubva pamepu.
Izvi zvinoitika kana Pope waantikristu ashandisa Vatican kuti atore simba repasi rese?
Anobva aparadza Vatican neNorth America munguva yeKutambudzika kukuru. Anobva kuRoma achienda kuJerusarema. Iye, achikurudzirwa naSatani agere maari, anotevedzera Mwari. Anoziva kuti Jerusarema iguta raMwari uye anoda kugarako.
DANIERI 11:45 Achadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira,
Gomo dzvene rakaisvonaka igomo reZioni riri kuJerusarema.
Kubva pakutanga Rusifa kana nyamasare aitevedzera Mwari.
ISAYA 14:12 "Haiwa, wawa seiko uchibva kudenga, iwe nyamasase,
13 Iwe wakati mumoyo mako;
14 ... ndichazvienzanisa noWokumusoro-soro.'
NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CPT.9
Zvino muchiratidzo chechitanhatu muAmerica makasimuka mukadzi akanakisa, asi ainehutsinye. Akabata vanhu nesimba rake rese. Ndakavimba kuti izvi zvaive kusimuka kwekereke yeRoman Catholic, chero ndakaziva kuti chaigona kungova chiratidzo chemukadzi aisimuka kuva nesimba guru nekuda kwekusarudzwa nevanhu vazhinji.
Chiratidzo chekupedzisira chechinomwe chakaitika pandakanzwa kuputika kukuru. Pandakatendeuka handina chandakaona kunze kwemarasha, nemadota, nechivutsi pamusoro penyika yese yeAmerica.
Saka zvinoita sekuti kereke yeCatholic ichatonga America, zvichida nekuda kwenjodzi inouya yoparadza chimiro chemari munyika.
Kereke yeRoma chete ndiyo ine mari yakakwana kuti itora simba muAmerica kana vaita sungano nemaJuda pamari yavo yemusika wemari.
Asi kunobva kwauya kupandukira kana kumukirwa. Pope waantikristu anoshandisa America pakusimuka kwake kuva nemasimba pasi rese. Kana asisina basa neAmerica anobva abata vamwe vanenge vana Russia kuti vadonhedzere bhomba renyukiriya paAmerica.
Ngatidzokerei pakutanga kwenguva yeKutambudzika kukuru.
Tinodzokera kumweya wantikristu unopinda mumunhu kuti atange kusimuka kuva nesimba.
Jesu paaive akunourayiwa, Satani akapinda mumupostora wake, mutungamiri wekereke, aibata nhava yemari.
RUKA 22:2 VaPrista vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuvuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu.
3 Zvino Satani wakapinda kuna Judasi wainzi Iskarioti, mumwe wavanegumi navaviri.
Satani akapinda muna Judasi kuti auraye Jesu. Satani paanouraya chokwadi cheBhaibheri munguva yeKutambudzika, mweya wake unopinda mukuru wekereke akakoshesesa akapfumisisa Pope kana kuti Pontiff weBabironi.
RUKA 22:4 Akaenda (Judasi), akandorangana navaPirisita vakuru navakuru vetembere, kuti ungamuisa kwavari sei.
Chinzvimbo chaPope chinomupa mukova wakazarurwa kuti abatane nemakereke evanopikisa Roman Catholic vomukira Shoko pavanogadza kereke imwechete pasi rese yakaitwa nevanhu inorwisa Magwaro.
DANIERI 11:38 Asi panzvimbo yazvo achakudza Mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa.
Achamutsa chitendero chake ega.
Asi vanoenda kumakereke vasina kubvira vakoshesa Bhaibheri vanowira kumuteyo wezvinhu zvese zvese zviri nyore kwazvo.
1965 NGUVA YEKEREKE YETIYATIRA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CPT. 6
Chitsauko ichi chinoraridza simba rekereke yeRoman Catholic nezvaichaita kupfurikidza mapoka. Rangarirai uyu muzambiringa wenhema. Regai utaure zita raShe, vanozviita mukunyepa chete. Hutungamiri hwayo hahusi hwaMwari asi ndehwaSatani. Inopedzisira yayananiswa nechikara. Mhombwe yakatasva bhiza dzvuku inoratidza kuti simba rayo nderamwari wekumanikidza (Satani) kwete Mwari wedu, Ishe Jesu Kristu. Muvhesi 17, zvinoratidza kuti achatora simba rose pamusoro pemari yepasi rese, nekuti hakuna munhu achatenga kana kutengesa kunze kwake. Izvi zvakataurwa kuna Zvakazarurwa chitsauko 18:9-17 inoratidza kuyanana kwake nemadzimambo, nemachinda nevatengesi vese vane chekuita neRoma uye hupfumi hwenyika.
DANIERI 11:37 Uye haangavi nehanya naMwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nokuti achazvikudza achiti ndakapfuura vose.
Mukadzi anoreva kereke. Haana basa nemakereke nekuti kuita kwawo ndekwekuzvisimudzira chete.
Pope wekupedzisira ndiye munhu anoda kuzviita Mwari.
Anoshandisa makereke kuti awane simba chete, asi haana basa nawo zvakanyanya.
RUKA 22:5 Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari.
Vemasangano anopikisa Roma vanofara kugamuchira Pope semusoro wemubatanidzwa wemakereke nekuti hakuna mukuru wemakereke emasangano akaipikisa angagamuchirwa nevanhu kuva musoro weKereke imwechete yePasi rese. Shungu dzine masangano dzekusimudzira munhu anotungamirira kuti vakudze masangano avo dzinokohwa gohwo rakaipa. Mutungamiri wekereke umwechete akakodzera kuva musoro wemubatanidzwa wemakereke ndiPope. Saka vemamwe masangano akaipikisa vanofanira kubatana vari pasi pekereke yeCatholic.
VaMediani vakatonga vakabatana nevaPersia naKoreshi asi Koreshi ndiye aive mambo mukuru. VaMediani vaive pasi pake. Zvakafanana nekanzuru yemasangano anopikisa chiCatholic ichatonga yakabatana naPope wekupedzisira, asi iye ndiye anenge ari musoro.
Makereke akabatana anenge aine maCatholic 1,4 biriyoni nevanopikisa 0,9 biriyoni anogonesa Pope kutonga masangano ese pasi rese nemari dzawo, zvomupa simba guru. Anotora mari yemasangano anopikisa asi kuitira kuti kuti asaidzosere, anozvipira kuparadza masangano anopikisa ese. Kunyanya vasikana mapenzi vakaponeswa vachaona zano rake rakaipa voramba chiratidzo chake chechikara chaanenge achida kuvaisa.
Anobva atsvaga sungano yezvemari nemaJuda. Ane ndarama yekereke. Ivo vane mari dzemusika wemari yepasi rese. Kushaiwa simba kwemari mugore 1929 kwakakonzera kusimuka kune simba kwaHitira. Akabatsirwa naErnst Rohm aive mukuru wemauto eSA. Hitira akawana simba muna 1933 akaripa Rohm nekumuuraya uye nhengo dzinoda kukwana 1000 dzepamusoro soro muSA mukuuraiwa kwevanhu kunodaidzwa kuti “Night of the Long knives” (“Husiku hwemapanga marefu” mugore 1934. zvakafanana, chimiro chekuomerwa munezvemari chichakudza kusimuka kwaPope waantikristu nekuita simba kwake pamusoro pehupfumi hwepasi rese. Asi vanenge vamubatsira chenjerai.
Sezvakaita mukuru wemauto eRoma Gariba paakatora chinzvimbo chemubati nekuti aive nesimba remauto kuti rimubatsire, saka antikristu achatora chinzvimbo chaPope kana kuti Pontiff asi anenge achida rubatsiro rwemauto.
DANIERI 11:22 Hondo dzinokukura dzichakukurwa pamberi pake, dzichaparadzwa; zvirokwazvo, naiye muchinda wesunganowo.
Vapikisi vachahwarara pamberi pake ruzhinji rwevanhu ruchatevera mureza wake.
“Hondo” zvinotaura pamusoro pemauto. Semukuru wemauto Gariba anotoda simba remauto anobva kuvadzvanyiriri gumi kuti ritsigire kutora kwake simba.
“Sungano”. Pope wekupedzisira anoita sungamo nemaJuda nekuda kwemari yavo iri mumusika wemari wepasi rese.
ZVAKAZARURWA 17:12 Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.
“Simba samadzimambo”. Havapfeki korona asi vaine simba remadzimambo. Ava vadzvanyiriri. Saka vadzvanyiriri gumi vachasimuka munguva yeKutambudzika nesimba guru remauto. Kana vakapararira pasi rese havazodi kufamba kuenda kure kuti vashandise simba ravo pamhirizhonga kune chero anenge asimuka. Dambudziko rine America nderekuti inotora mwedzi inosvika kana mitanhatu kuti mauto ayo asvike kune nzvimbo dzepasi rino dziri kure. Kunofanira kuita mauto anenge ari padyo kuitira kuchengetedza nyika inenge yatorwa iri pasi peshamhu. Nguva yakasvika America kunopamba nekutora Afghanistan neIraq, simba remauto ayo raive ratoda kunotorwa kusvika kumuganhu waro. Saka simba guru rimwechete munezvemauto kana hondo harina kukwana kuti ribati pasi rese. Vadzvanyiriri vakasiyana vane simba remauto vanogona kuita basa iri zviri nani kwazvo kana vese vari pasi pemunhu mumwecheke.
ZVAKAZARURWA 17:13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa chikara simba ravo nevushe bwavo.
“Ndangariro imwe”. Vadzvanyiriri vachishanda pamwechete semunhu mumwe. Pope waantikristu neimwe nzira anokwanisa kubatanidza vadzvanyiriri gumi vezvamatongerwo enyika pasi pesimba rake. Mari dzemakereke nedzemusika wemari nemaJuda dzichamuita munhu akapfumisisa pasi rese. Munhu ane mari agara ndiye mukuru saka vanomupa simba ravo rezvemauto nekugona kwavo. Nekugona kwavo mune zvehondo anokurura hupikisi hwese hunganyuke.
ZVAKAZARURWA 17:14 Ava vacharwa negwaiana, gwaiana richavakunda;
Vanotanga hondo vachimukira Jesu. Zvidavado zvinorwadzisa. Asi ndiyani anomiririra Jesu panyika? Kereke nemaJuda. Vadzvanyiriri gumi vane simba rese rakafanira remauto rinodiwa kuti riuraye kereke nekurwisa maJuda.
Antikristu anoda kutonga maindasitiri epasi rese.
Kuti aite izvozvo anoda mari. Vatican ine ndarama maJuda ane simba pamusoro pemusika wemari. Antikristu anobatanidza makereke emasangano akapfuma pamwechete kumaisa mubato rake.
Hupfumi hwemasangano emakereke hunomaita kuti aringwe zvakanyanya naantikristu.
Saka kubudirira munezvemari kwemakereke kunovagonesa kuunganidza mari zhinji, ndiko kunovatungamirira kunowira pasi kwavo.
Zvino Pope wekupedzisira anoita sungano yeke yemari nemaJuda kuti agone kushandisa mari yavo iri mumusika wemari kuti vaise kumaindasitiri epasi rese.
Mucharangarira here Sadamu Hussein, aive mutungamiri wenyika yeIraq. Akakwereta mabiriyoni emari kubva kuKuwait kuti arwise hondo yaive isina chirevo yemakore masere neIran. Nekutadza kuripa chikwereti chake kuKuwait, akasarudza kutapa Kuweit akaiita dunhu riri muIraq. Akange asisaripi chikwereti neKuwait. Ndiwo mashandiro aSatani. Kuparadza vanhu vanokukweretesa Mari, unenge usisafaniri kuvaripa mari dzavo nekuvadzosera zvaunovakwereta.
Kuita sungano kuti aite simba pamusoro pemari yekereke, vese vemasangano neCatholic, antikristu anenge aine chinangwa chikuru chekuvaparadza. Anofunga nenzira imwechete pamusoro pemaJuda vaanokwereta mari zhinji.
DANIERI 8:23 Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka.
Pamagumo vanhu vakaipa ndivo vanotonga nyika. Chivi chaipisisa kusvika patisingakwanisi kurangarira nendangariro dzisina kuipiswa. Rudzi rwevanhu harugoni kunyura zvakadzika mukupandukirana, kurwisana, nekunyengera sezvazvave nhasi. Antikristu ndiye achave munyengeri mukuru wekupedzisira. Muparadzi nemutadzi akarasika zvakanyanya. Satani panyama. Murume wekusarurama anonyengera nekurasisa vanhu kuti vavimbe naye mukuipa kwake. Chiso chinotyisa chinovhundutsa chemunhu asina tsitsi akaipa mambo wehondo. “Mitsara yerima” zvainoreva zvinonyegera nekukurira vanhu. “Mitsara yerima” inotaura pamusoro pesungano dzakanyorwa muhungwaru zvekuti anoshandura zvinhu nekunyengera kwemadhimoni kuti zvireve zvinhu zvinomutendera kuputsa sungano idzi paadira.
DANIERI 8:24 Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
Hukuru hwehondo hwesimba rake hahusi hwake asi hunobva pahukuru hwehondo dzemauto evadzvanyiriri gumi. Nerubatsiro rwavo anotsvaira nyika dzese dzepasi rino nekuparadza vose vanopikisana naye. Budiriro yake inoshamisa. Simba rake munezvemari harisi rake asi rinobva mumakereke nemaJuda. Simba rake munezvematongerwo enyika harisi rake asi anoriwana paanotora Vatican nekunyengera onyengera zvakare vemasangano akabuda muchiCatholic kuti vabatane navo vari pasi pake.
Munhu mumwechete ane simba rezvechitendero, zvematongerwo enyika nemari anoshaiwa anomumisa. Pasi rese rinomuhwarara. Ane simba pamusoro pevanhu uye mari yekutsigisa zvinhu mumamiriro ehupfumi anenge asunama zvinoita kuti asimuke kuva nesimba guru. Asi akavenga Mwari. Anoronda vasikana mapenzi nekurwisa maJuda. Mubairo pano ndewekuti haavaripi zvikwereti zvaanazvo navo, nekuti mari yese yaanayo, akaikwereta kwavari.
DANIERI 8:25 Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
“Achafambisa” kufambisa mabasa neruoko kana kugadzira. Munyika yakarohwa nedambudziko kupfurikidza njodzi nehondo, anoshandisa ndarama yekereke nemari yemaJuda yemusika wemari wepasi rese kuvaka maindasitiri nemakambani ekugadzira zvinhu. Izvi zvinosika mabasa kune avo vasingashandi zvinobva zvamuita kuti ave nembiri. Ndiye Messiasi wavo. Hakuna achagona kumupikisa. Anozvisimudzira nekuzvikudza. Nechepadenga anokurudzira runyararo asi muchivande anenge achiparadza hupikisi hwese achironga kutora pasi rese nekuita kuti vanhu vese vamunamate.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Semuchinda uyu ari pano – pano (Zita rake ndiyani zviya?) Castro akafa. Akaita chinhu chakachenjera chaasina kubvira aita, paakaparadza zvikwereti: akazviripira akabva azviparadza. Tarirai, asi hatigoni kuzviita. Vanhu ava havatibvumiri.
Vanhu vakapfuma panyika ndivo vakabata zvese, kosara chinhu chimwechete chekuita:
kereke yeCatholic ndiyo inogona kuchiripa. Ndiyo chete ine mari; inogona kuzviita, uye ichazviita.
Mukuita izvi kuti izviwane, ichataurirana nemaJuda yoita sungano, kana ikaita sungano iyi nemaJuda, ... Zvino rangarirai, ndiri kutora izvi kubva kuMagwaro. Zvino, kana akaita sungano iyi, tinoona kuna Danieri 8:23 nevhesi 25 achakonzera kuti mabasa emaoko abudirire (mabasa ndiko kugadzira), mumavoko ake.
Anoita sungano iyi nemaJuda, pakati pemakore matatu nehafu, anoputsa sungano yake kana angowana zvaanoda atora mari yemaJuda kuti iite yake. Uye kana aita izvozvo, oh, maiwe, oh, maiwe, anodaidzwa kuti antikristu kusvika pakupera kwenguva dzemakereke, nekuti ndiye – iye nevana vake vanopikisa Kristu neShoko. Munhu uyu anodaidzwa kuti antikristu. Zvino, achabata mari. Ipapo ndipo paachapinda. Ndipei kanguva kaduku, ndichiri kutaura izvi ndinoda kudzokera kwazviri chinguvana.
Anonzi antikristu achadaidzwa kuti antikristu mumaziso aMwari kusvikira pakuguma kwenguva. Zvino, asi achadaidzwa nerimwe zita.
Zvino, kana akakwanisa kutonga mari yese, anobva aputsa sungano nemaJuda, sezvakataurwa naDanieri pano kuti achazviita, pakati pehafu yekupedzisira yemavhiki makumi manomwe aDanieri. Zvino, hama, achaita sei? Achaita simba mukutengesa kwepasi rese nehupfumi, oyanana nepasi rese, ‘nekuti achange akabata hupfumi hwepasi rese zvakazara.
DANIERI 11:23 Kana apedza kuita sungano navo, achavanyengera; nokuti achakwirira, nokuva nesimba navanhu vashoma.
Asi antikristu ndiye mukuru wekunyengera. Haavimbiki naye. Vatican inzvimbo duku kwazvo ine vanhu vasingadariki 800. Asi iguta kana kanyika kaduku pasi rese nekuti ingori panzvimbo duku yakabata sikweya kiromita rimwechete. Asi kubva ipapo antikristu achasvika pakutonga pasi rese. Iyi ndiyo “nyanga duku” yakataurwa naDanieri. Duku asi yakaipisisa.
Pope ndiye achave mutongi mukuru asi achatonga kwechinguvana pamwechete nekanzuru yemakereke emasangano akabuda mairi vari pasi pake. Ava vachange vari “mabwe akakosha” anomubatsira kuyambuka pakuparadza vasikana mapenzi.
Munhu achave musoro webato rekereke yechikara ndiPope waantikristu wekupedzisira anotsvaga kuparadza vanoenda kumakereke vese vanenge vapesana neKukwira kudenga mukubwaira kweziso. Ndivo vachava vazhinji kwazvo vevanoenda kukereke nhasi uno nekuti vachatorwa vashoma. Vaya vakaponeswa asi vaive vasinehanya mukutenda kwavo kuBhaibheri, vacharangarira mumarwadzo enguva yeKutambudzika kukuru. Vacharamba kuva chikamu chekanzuru yepasi rese yevemakereke emasangano anova mufananidzo weRoma.
ZVAKAZARURWA 13:15 Chakapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.
Ropa rehupenyu mukereke imari. America ndiyo ine mari yakawandisisa saka ndiyo ichatungamira mukanzuru yemakereke epaasi rese. Kanzuru yemakereke, ichitsigirwa nesimba remauto evadzvanyiriri gumi vanotungamirira nyika gumi vanotaura nesimba rekutonga seramadzimambo. Vadzvanyiriri gumi vezvehondo, vakapararira nepasi rese, vanoita hutongi hwenyika huri pasi pehudzvanyiriri hwaPope waantikristu. Pope anofanira kuterera pavanotaura. Munoterera kuita kwekereke imwechete pasi rese kana kuti munofa . Edeni raSatani.
Munguva yeKutambudzika makereke anenge ari mariva anotungamirira kurufu. Munofa pamweya kana mukagara maari nekuti muchatora chiratidzo chechikara. Munovurawa kana mukabva kwavari. Inguva isina tariro zvachose.
Vasikana mapenzi vakamboponeswa vanoramba kutenda mudzidziso dzemakereke aya dzisimo muMagwaro dzinoramba dzichiwedzera kuipa nekudokwairira ropa (saHitira nekuuraya kwaakaita vateveri vake veSA mumazuva matatu.) Vasikana mapenzi vanopedzisira vawana simba rekuramba kuita kwemakereke uye vaparidzi vanodakadza vane zvipo vakavanyengera vakavaita kuti vagare varere pavaifanira kunge vaitsvaga Magwaro kuti vagadzirire kukwira kudenga. Munguva yekutambudzika vanomira zvine simba nechikamu chechokwadi cheBhaibheri chavanoziva. Vanorasikirwa nehupenyu hwavo mukuuraiwa kunotyisa nekurwadziswa kunotyisa kuri munguva yeKutambudzika. Asi mweya yavo yakaponeswa nekuti vakaponeswa nguva yeKutambudzika isati yatanga. Vanochengetedza kuponeswa kwavo nekuramba makereke enguva yeKutambudzika nechiratidzo chawo chechikara.
Asi vanoripira miripo iyi nehupenyu hwavo.
Dai vakaziva chokwadi cheBhaibheri chakati wandei.
HOSEA 4:6 Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupirisiti wangu; zvawakanganwa murayiro waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako.
Vakavimba nemakereke avo kudarika kuvimba kwavakaita neBhaibheri. Vakadzidza zvavakadzidziswa nemakereke avo kwete zvinotaurwa neBhaibheri. Nekuramba zvikamu zveBhaibheri zvavasina kubvira vada kunzwisisa, vaitoramba Jesu. Nekuti ndiye Shoko. Saka Jesu anovaramba kuChirayiro chemuchato.
Shoko rekukokwa kuChirayiro chemuchato rinotumirwa chete kune avo vanotora Bhaibheri semukuru wavo.
63-1226 HURONGWA HWEKEREKE.
Nekuti munoona varume vaviri, mune sarudzo mbiri. Zvinofanira kusvika pamukuru mumwechete, mukuru wangu ini iShoko, Bhaibheri.
Zvinotora moto wenguva yekutambudzika kuti vazunzwe vabude mukutadza kwemakereke avo uye kubva mukuvarayirwa kwavanako.
Mumoto wenguva yeKutambudzika vanodzidza kuzvimiririra netsoka dzavo vozvitendera zvinotaurwa neBhaibheri vasina kuudzirwa. Vanowana kuti zvaive zvakaipa kutamba mutambo weforo-mai- ridha vachivanda kuseri kwemunhu wenyama mukereke mavo.
I VAKORINTE 3:15 Kana basa romunhu rikapiswa, ucharashikirwa, asi iye amene uchaponeswa, asi sowakabuda pamoto.
Mabasa emakereke avo achatsva kuita madota pachatambuzwa makereke naantikristu. Vasikana mapenzi vanodzidza munzvimbo dzakaomarara kushingirira nekutevera Jesu munguva yeKutambudzika. Asi Jesu anenge asisiri pachigaro chenyasha paanouya kuzotora Mwenga wake. Saka vasikana mapenzi vanotendeukira kwaari neshungu huru kwazvo munguva yeKutambudzika, asi izvi hazvigoni kuvaponesa. Vaifanira kuponeswa asati auya. Asi moto wekurwadziswa nekurangwa uchanatsa kutenda kwavo votenda maari vofa. Dai vaive vakagadzirira kuramba kuita kwemakereke avo nevaparidzi vane mbiri kukwira kudenga kusati kwauya (Repucha) vangadai vakawana kutenda nekushinga kwekugadzirira kukwira kudenga. Saka zvinoita sekuti moto wenguva yeKutambudzika wakavaponesa asi chawakaita kupisa tsika dzekumakereke kwavaiienda nekusatenda ukavazivisa kutenda kwekuponeswa kwakakosha kwavaive vagara vanako.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Nokuti nyoka, Roma, yakasvipa mvura kubva mumuromo mayo kuti iite hondo nevaive vasara vevana vemukadzi vaive vasiiwa panyika mumashure mekusarudzwa nekukwira kudenga kweMwenga. Nyoka yakaita hondo nevakasara vaisada kupinda, ikavavhima.
ZVAKAZARURWA 12:17 Zvino shato yakatsamwira mukadzi, ikaenda kundorwa navana vake, [vasikana mapenzi] vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu. [vakaponeswa naJesu nguva yeKutambudzika isati yakwana].
Mwari paanotora mwenga vakasara vemaKristu akaponeswa vanosara ndivo vasikana mapenzi. Kuponeswa zvinoreva kuti vaigona kuwana kutenda kwakakwana kuti vakwire kudenga asi vakaita kukanganisa kukuru kwekuvimba nevaparidzi vavo vakavanyengera. Ndizvo zvakavaita kuti vave mapenzi. Havana kubvira vavimba neBhaibheri pachavo. Vaitya vatungamiriri vemakereke avo Kukwira Kudenga kusati kwauya.
Asi vachafungei pamusoro pevatungamiri ivavo pavachaziva kuti vasara vamwe vachikwira kudenga.
Vachavhimwa vachiurayiwa nerubatsiro rwevaiita kunge vatendi vari mumakereke nevasingatendi vaive mumakereke. Vanoenda kumakereke vasina kuponeswa ava vanofara kugamuchira chiratidzo chechikara nekuti vanofunga kuti vanogona kuponesa mweya yavo. Asi kuita kwaSatani ndekwekumukirana. Vasikana mapenzi kana vaurayiwa, anenge asisina basa nevaya vanoronga nekurangana pamusoro pevasikana mapenzi. Saka kana takatarisa huwandu hwevanhu vanobata ipapo, kota yevanhu 8 bhiriyoni i 2 biriyoni. Uhu ndihwo hunenge huwandu hwemaKristu ari panyika. Saka Satani anoguma apandukira nekuparadza vanoenda kumakereke vanoita vatendi nezvasingatendi zvakare. Vanorasikirwa nehupenyu hwavo nehupenyu hwavo. Satani anovauraya nerufu. Izvi zvinowisira mweya yavo murufu rwechipiri muDziva roMoto.
Vaya vakaedza kuponesa hupenyu hwavo nekutora chitatidzo chechikara vachavurawa nerufu, rufu rwemweya mukurwadzisa kwegehena.
MATEO 10:28 Musatya vanovuraya muviri asi vasingagoni kuvuraya mweya, zvikuru mutye uyo unogona kuvuraya zvose mweya nomuviri muGehena.
ZVAKAZARURWA 14:11 Vutsi bwokutambudzika kwavo bwunokwira nokusingaperi-peri; havanezororo masikati novusiku, ivo vanonamata chikara nomufananidzo wacho nounogamuchira chiratidzo chezita racho.
Chidavado chaSatani kushandisa munhu “semufananidzo wakakosha” oparadza munhu wacho kana asisina basa naye.
Saka kota yevanhu vese vepanyika ndiyo yakatarisiswa naAntikristu yaari kuda. Uhu huwandu hunoda kukwana hwevanhu vanoenda kumakereke panyika.
Ngatidzokerei kukanguvana Kukwira Kudenga kusati kasvika (Repucha).
Kana nguva yapera, vasikana mapenzi, maKristu akaponeswa vakanyengerwa nekuita kwemakereke, vachamuka. Vachaedza kwazvo kudzidza chokwadi kubva kuMwenga. Kusaziva kwavo Magwaro kuchavadzivisa kuKwira Kudenga. Zvakawanda zvinenge zvichida kudzidzwa munguva duku. Asi vachadzidza zvakakwana kuti vazive kuti vanofanira kuramba makereke enguva yeKutambudzika.
MATEO 25:8 Mapenzi akati kunavakachenjera, tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti mwenje yedu yodzima.
9 Asi vakachenjera vakapindura vakati, kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose, endai henyu kunavanotengesa muzvitengere.
10 Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika, zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wokuwana. Mukova ukapfigwa.
11 Pashure vamwe vasikana vakasvika vakati, Ishe, Ishe tizarurirei!
12 Akapindura akati zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handikuziviyi imi.
Jesu ndiye Shoko. Vasikana mapenzi vanoenda kumakereke havana kukoshesa Bhaibheri sekukoshesa kwavakaita makereke avo nevatungamiri vawo.
Jesu anotiziva chete patinotsvaga Magwaro kuti tione kuti zvatakanzwa ichokwadi here.
MABASA 17:11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.