Mativi mana enyika
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Mwari vanosudurudza nekushandura divi. Isu tinoramba tichitsveyama pakatwasuka. Tinofanira kushandura gwara ratinoenda kuti titevere Mwari.
- Zano raMwari rine nzira ina dzekukurira Satani
- Satani anotonga kereke nenzira ina
- Kereke inotarira mativi mana kuti idzorere chokwadi cheBhaibheri
- Kereke imwechete inofanira kuvimbwa nayo ikereke yekutanga
- Hakuna munhu anofanira kuita musoro wekereke
- Makereke anotora tsika dzechipegani zviri nyore
- Kuita simba pamusoro pekereke kunokonzeresa kuita simba munezvematongerwo enyika
- Vanikoraiti vanopamba sangano
- Rudo rwemari runokoka madhimoni
- Mweya waantikristu unowodza kereke
Zano raMwari rine nzira ina dzekukurira Satani
Izwi rechiHeberu rekuti “Kanaph” rinoturikirwa richinzi “kona” rinogona kuva nechirevo “chekumapeto” kusairirwa kumapeto kwekupedzisirisa. Zviitiko zvinoitika nenzira dzekuti sarudzo dzedu dzinoiswa miganhu kusvika tamanikidzwa nezviitiko kuona kuti tiri kufanirwa kukasika kutevera shanduko yaMwari. Zvisinei nemisiyano uye zvipingaidzo zvingavepo zvekutadza kuwirirana nezvitendero zvemakereke atakadekara maari, tinoona nzira itsva ichivhurika inoda kushinga uye zvivindi zvekutevera Magwaro zvakazara. Matambudziko akaoma atinosangana nawo anokonzerwa neshanduko dzkutenda kwedu anotsiviwa nekudzama kwekunzwisisa kwedu Magwaro nenzira dzawo uye muono wawo wakadzama. Kusimudzwa kwezaruriro kwakakosha kudarika zvatarasikirwa nazvo zvenyama nekurambwa uye kutukwa kwatinoitwa nemakereke. Kune mubairo unoripirwa kana mukatakura muchinjiko. Ibasa rakaoma kukwira gomo raMwari, asi mufananidzo waunozoona wava pamusoro paro unoita kuti marwadzo ese ave aive akafanira.
MATEO 6:10 Vushe bwenyu ngabwuvuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.
“Humambo hwenyu ngahuuye”. Izvi zvinoreva kuti pakupedzisira Mwari achakurira ovaka kereke yake mukati memakore 2000 achishandisa vanhu vakazvarwa patsva, kunyanya vaHedeni, semabwe ake anorarama. Asi Mwari anofanira kutitema isu mabwe anorarama kutipa chimiro chaanoda iye.
Nekuti Mwari achakurira zvose, isu vanhu pano panyika tinofanira kumanikidzwa kushandura nzira dzemafungiro edu kuti tifambirane nekufunga kwaMwari. Asi tinonetseka kuita kuti zivo yedu yenyama isvike pazivo yemafungiro aMwari, Mwari paanogara Kudenga nekufunga nemafungiro epamusoro soro kudarika isu.
Nyika haina mativi mana anobatika nekuti nyika yakaita chimiro chakatenderera.
Bhaibheri rinotaura mativi mana emweya akakonzereswa uye achiri kukonzereswa nekukanganisa kukuru pamweya kana kurwisa Magwaro kunoshandiswa naSatani kubvisa kereke paMagwaro. Makereke anotoda kukanganisa uku zvekuti anotoramba chero munhu anoda hake kukupikisa.
Kana tikasvika padivi rakafanana nepamugwagwa kana mumba tinomanikidzwa kushandura nzira yatinenge tichifamba.
Zvakafanana, divi rimwe nerimwe remweya rinotipa tsiudzo yemumoyo yekuti tishandure nzira dzemafungiro edu. Tinofanira kupikisa kumwe kutenda kuri mukereke kana tichida kuti meso edu azarurwe.
Kupokana nechitendero chinotendwa mukereke kwakagara kwakaoma kune chero munhu. Vanhu vanosarudza kuita mbiri nekuwana shamwari pachinzvimbo chekuramba zvakaipa.
Kune zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chaMwari cheHushe. Izvi zvinomiririra nzira ina dzinoratidirwa nadzo simba raMwari apo anokurira mazano anoshanduka aSatani nekuzivisa zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro. Asi Mwari anofanira kuwana vanhu vanoda Magwaro kudarika shamwari zvekuti vanozvipira kushandura zvimwe zvitendero zvekereke zvavakanyegerwa nazvo.
ZVAKAZARURWA 4:7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
Tinofanira kufambirana nenzira dzinofunga nevanhu veMweya ava.
Kurudziro yaMwari inopararira pasi rese nenzira ina dzakasiyana.
Ndangariro nemazano ezvipuka zveMweya zvina izvi anoziviswa muBhaibheri reKing James, Magwaro akarurama.
ZVIREVO 14:12 Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
Isu vanhu tinofunga kuti takachenjera asi nzira dzatinofamba nadzo dziri munzira yerufu.
Divi ndipo apo Mwari anoda kuti titendeuke kubva kunzira dzedu dzatinofambiswa nekuzvikudza uye kuda kwenyama dzedu toshandura kuita kwedu nezvinangwa zvedu. Tinofanira kufa kuzvivi zvedu kuti Mweya waMwari utitungamirire.
Petro akaona chiratidzo chemhuka dzakasviba dzakabatwa nemambure, mucherechedzo wemapegani echiHedeni ese asina kuponeswa mukati memakore 2000 vanozoita kereke inouya kana vatendeuka vabapatidzwa naMweya Mutsvene. Tambo ina dzakabatanidzwa mumakona mana ejira.
Petro, akamiririra dzidziso dzemapostora dzeTestamente Itsva, aizouraya “kuda kwavo” kwaive mavari kupfurikidza kuita kuti vatendeuke. Rubapatidzo rweMweya Mutsvene rwaizoita kuti “kuda kwavo” kufe apo Kristu aizorarama mavari.
Chipikirwa ichi chaizovapo zvakare kuvaHedeni vose mukati memakore 2000 enhorondo yekereke kana vakasarudza kutendeuka nekutevera Magwaro .
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39 Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
Testamente Itsva inotidzidzisa isu vaHedeni kuti tofa sei kuzvido zvedu kuti tigamuchire Mweya waKristu. Mhuka dzakagashirwa kuva dzakachena dzikatorwa kukwira Kudenga. Kereke yevaHedeni iri pakati pemakona mana ekutendeuka padzidziso apo tinofanira kushandura nzira dzatinofunga nadzo uye dzatinotenda, nekuti tinonyengerwa zviri nyore nedzidziso dzemakereke dzenhema.
Tarisai chiratidzo chakaonekwa naPetro.
MABASA 10:11 akavona denga razarurwa, nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru wakasungwa miromo mina unoburusirwa pasi
Kune mativi mana pajira iri.
Divi rinokumanikidzai kutendeuka nekushandura nzira. Mativi aya akabatanidzwa kumagumo edenga, anomiririrwa nezvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chehushe. Zvinomiririra miganhu yeMagwaro inoshandiswa naMwari kutungamiririra kereke yake yevaHedeni panyika mukati menguva nomwe dzemakereke kuti vaHedeni ava vagamuchirwe kudenga pavanofa.
MATEO 24:31 Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru. Vachavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi.
Ava vanhu vakazvarwa patsva kudenga vachidaira hwamanda yeEvangeri nekuti vakasarudzwa kuti vanzwisise Shoko raMwari kunguva yavo nemazuva avo.
Kwaive nemativi mana makuru ekutendeukira aifanirwa kuzivikanwa nekereke apo vaifanira kushandura rutivi rwavaienda kuti vatarisane nezviwira vanhu zvenguva yavo. Apo Satani akashandura nzira dzake dzekurwa nadzo, Mwari vakaratidza vanhu vakaponeswa nzira dzakasiyana zvakare.
Chinhu chaive chakanyanya kutariswa naMwari kwaive kushaikwa kwechokwadi munguva dzePakati (Middle ages) kana kuti Nguva dzeRima. Iyi yaive nguva yekereke yechina pakati penguva nomwe. 1, 2, 3, 4, 5, 6, 7
Mwari vaizoshandisa nguva nhatu dzemakereke ekupedzisira kudzorera kereke kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemapostora.
Nguva nhatu dzekupedzisira dzemakereke idzi dzekudzorerwa dzaive dzakatariswa kwazvo naMwari uye dzakaratidzwa nekudzokorora kwechiratidzo katatu. Nguva nhatu dzekereke dzekudzorerwa apo kereke inozotorwa kunokwira Kudenga.
Kudzorera chokwadi mumashure meNguva yeRima, Mwari vakashandisa Martin Luther kuita kuti vanhu vaponeswe nenyasha kupfurikidza kutenda munguva yekereke yechishanu.
John Wesley akazoita kuti vanhu vakaponeswa vadzorerwe kuhutsvene nekuparidzira zvakaunza nguva huru yemamishinari.
Iyi yaive nguva yekereke yechitanhatu.
Pentekositi yakatora vanhu vakanga vaponeswa, vatsvene, vaivhangera, ikawedzera rubapatidzo rweMweya Mutsvene munguva yekereke yechinomwe.
Asi nguva yekereke yechinomwe yaifanirawo kutungamirirwa kupinda muzvokwadi yose neMweya Mutsvene.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;
Izvi zvaida muprofita wenguva yekupedzisira kuti atidzidzise kuti tonzwisisa sei Bhaibheri mumvura yekutanga kana kuti mvura yedzidziso apo aizivisa zvakavanzika zvaMwari.
MATEO 17:11 Akapindura, (Jesu) akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
William Branham wekuAmerica aifanira kutidzorera kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga yemapostora.
Nhasi, mwenga akaponeswa, mutsvene nevavhangeri vakagamuchira rubapatidzo rweMweya Mutsvene vanotsvaga ruzivo nehuchenjeri hunoyananisa mavhesi eBhaibheri kuti vawane kunzwisisa Shoko raMwari rakaziviswa. Kuziva zvakavanzika zvaMwari (zvizhinji) kunodzorera Mwenga wenguva yekupedzisira kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga. Kudzorerwa uku ndiko chakavanzika chaMwari (chimwechete) chakapesana nemakereke.
MARKO 13:27 Ipapo uchatuma vatumwa, akavunganidza vakasangangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kunorumwe rutivi rwokudenga.
Dambudziko rina Mwari nderekuita kuti vanhu vakasarudzwa munzvimbo dzakasara kana nzvimbo dziri kure panyika vanzwisise zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro zvinozivisa zvakakosha zvezvakavanzika zvedenga zvinofuratirwa nevanhu vakawanda. Kukanganisa kukuru kwevanhu vanoenda kumakereke nhasi ndekwekuti vanoramba Magwaro akaoma ese avasinganzwisisi vachiti zvinhu zvisina maturo.
“Tinofanira kuziva here?” ndizvo zvintaura vasikana mapenzi. “tinofanira kuziva” ndizvo zvinotaura Mwenga.
Kusvika kuchakasara kwenyika kwakatanga kugoneka makore akatenderedza 1990 apo intaneti yakavambwa vanhu vekure vakatanga kugona kutaura nevamwe vari kure kuparidza chokwadi.
Kutaura pamusoro pejira redenga rakaonekwa naPetro muchiratidzo.
MABASA 10:12 Maiva nemhuka dzose dzinamakumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
13 Inzwi rikavuya kwaari, richiti: Simuka Petro, baya, udye.
MABASA 10:14 Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chinetsvina.
15 ipapo inzwi rikavuya zve kwaari rwechipiri, richiti: Chakanatswa naMwari, usati, chinetsvina iwe.
16 Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga.
Chiratidzo chinodakadza ichi chakaratidza kuti kereke yaMwari yakaponeswa yaizoitwa nevaHedeni vechipegani vasina kuchena, vaizotendeuka vogamuchira Mweya Mutsvene.
Vapostora vaive vazivisa chokwadi sezvinotsanangurwa muTestamente Itsva, asi chakazonyanya kurasika muNguva dzeRima.
Pakapera Nguva dzeRima, Mwari vakashandisa nzira ina itsva dzekufunga kuti vaite kuti kereke yechokwadi ishandure nzira dzemafungiro ayo. Chinangwa chikuru chaive chekudzorera chokwadi chekereke yekutanga pakupedzisira kwenhorondo yekereke.
Kana munhu ari “kurutivi rwako” anenge achikutsigira, kukubatsira, nekukupa mazano.
Zvakanaka kuziva kuti kukaitika chero chii, munhu iyeye anenge achikutsigira.
Asi chakanyanya kukosha ndechekuti tinofanira kuva kumativi akanaka aMwari, tichibatsira Zano rake guru tisingatadzisi zvinangwa zvaMwari.
Kana Mwari akatendeukira kune rumwe rutivi, tinofanira kutendeukawo kana tichida kutevera Mwari. Kana kuti, nehupenzi, tinozvitendera kubvumirana nezvitendero zvemunhu kana kereke yatinotevera. Zvakaoma kuti isu vanhu tishandure hunhu hwedu nekufunga kwedu.
Nzira imwechete yoga yekutevera Mwari paanoshandura rutivi rwekuenda kutsvaga kuti zvatinotenda zvakanyorwa muBhaibheri reKing James here. Ndiro rega munongedzo wedu unovimbika.
Satani anotonga kereke nenzira ina
Danieri akaona mhepo ina dzedenga dzichiwira pamusoro pegungwa revanhu vasina kugadzikana panyika, zvakasimudza hushe huna hwemapegani hwaive nehutsinye. Mwari aifanira kuisira zvakaipa muganhu kuti adzore kuipa kwaive kwaitwa.
DANIERI 7:2 Danieri akataura, akati, "Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.
Mhepo dzekudenga “dzakamutsa” gungwa guru zvinotaura pamusoro pekurwa pakati paMwari naSatani kuti vatonge ndangariro dzevanhu. Gungwa guru vanhu vazhinji nemarudzi vasina kugadzikana. Nhorondo yevanhu yakagara iri hondo isingaperi pakati paMwari naSatani. Gungwa rinomiririra ruzhinji rwuri parutivi rwaSatani.
ZVAKAZARURWA 7:1 Shure kwaizvozvo ndakavona vatumwa vana, vamire kumativi mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika, kuti mhepo irege kurira panyika, kana pagungwa, kana pamiti yose
Vhesi iri rine chirevo cheMweya nekuti vatumwa ndivo vanoyanana nemativi mana enyika.
Kune mhepo dzinodarika ina panyika. Hamugoni kubata mhepo. Mhepo mucherechedzo wehondo nekumukirana.
Vatumwa vanosanganisirwa muhondo dzemweya naSatani kuti vabate ndangariro dzevanhu.
Kwakaita shanduko huru ina panzira dzakarasiswa nadzo kereke naDiaborosi.
Chekutanga, munhu akasimudzirwa kuita mutugamiri wekereke zvisimo muMagwaro zvakamupa simba rekudzvanyirira vamwe. Saka, anotonga sangano (inonzi ungano) nedzidziso dzake dzisimo muMagwaro dzaiwanzobva kutsika dzemapegani, zvisinei nekuti dzakazoshongedzwa nemazita echiKristu. Kuita uku kwakaenderera mberi munhorondo yekereke apo Pope ari iye ega mudzvanyiriri wekereke kuEurope. Masangano anopikisa anoda kwazvo kutevera chimisikidzo chakagadzirwa nevanhu chekereke yeCatholic sezvo chiri chimisikidzo chakafanira pakukura kwekereke. Chakagonesa kereke yeCatholic kurarama makore anosvika 2 000 ikasimuka kuva kereke huru panyika, inodaidzwa kuti Chikara. Apo masangano anopikisa anotora dzidziso yekuti munhu mumwechete ndiye mutungamiri wekereke-nehurongwa -hwayo, vanotorawo mazwi eRoman Catholic asimo muMagwaro akaita seekuti Tiriniti, Kisimusi, Mwari Mwanakomana, Chishanu chakanaka, simba remunhu mumwechete anotungamirira kuti abvise chero hupikisi, achishandisa zvakataurwa nevanhu pachinzvimbo chedzidziso dzakabva muMagwaro, makore manomwe enguva yekutambudzika kukuru nezvimwe zvakadaro. Pavanotevedzera kuita zvivakwa zvemakereke zvakafanana nezveRoman Catholic, makereke ekuAmerica anotungamira kuva bato rinopikisa chiCatholic asi vari mufananidzo wechikara cheCatholic.
Chechipiri, kereke yakagashira zvematongerwo enyika mumazuva emubati Constantine mumashure megore AD 312. Mune zvematongerwo enyika, munoguma makuurayana nevanokupikisai zviri nyore. Kereke yeRoman Catholic yakauraya makumi emamiriyoni evanhu munguva yeRima.
MaPope vaive vapinda munezvematongerwo enyika vakanyura Pope John Paul II vakaita basa guru pakuparadzwa kwechidzitiro cheDare cheKomiyunizimu muPoland. Izvi zvaiita sezvinodakadza asi zvakangonyengera vanhu kusvika pakufunga kuti Komiyunizimu ndiyo muvengi mukuru. Pachokwadi, Kereke yeRoma ndiyo muvengi mukuru wechokwadi ari kuvakwa naSatani kuti ashandise kutonga nyika munguva inouya. Komiyunizimu ringori simba rakasimba riri kukanganisa vanhu kuona kuti muvengi pamweya chaiye ndiyani anova chimisikidzo chekereke nhasi. Munguva yekereke yekupedzisira, Jesu ari Shoko raMwari akamira kunze mwemukova wekereke. Ndiro dambudziko rezvinhu zvematongerwo enyika. Zvinokanganisa vanhu kusvika pakufunga kuti zvematongerwo enyika zvine huwori ndizvo muvengi mukuru asi muvengi chaiye, dzidziso dzisimo muMagwaro nezvimisikidzo zvemakereke, zvichibvisa chero rudo rwekutevera Magwaro zvakazara muvanhu. Bhaibheri reKing James ndiro rega kuturikirwa kweShoko raMwari kwakarurama. Makereke anofara kuzvidza nekuramba Bhaibheri reKing James Vhezheni.
Kereke yeRoman Catholic yakabata zakadzama pakusimuka kwaMusolin naHitira kuenda pakutonga. Vanhu vakakurudzira mutungamiri wenyika John Kennedy kuti apindire paVietnam kuti achengetedze kereke yeRoma ikoko. Mumashure merufu rwaKennedy hondo yeVietnam yakakura America ikasangana nekukurirwa kukuru.
Kupindira munezvematongerwo enyika kwekereke yeCatholic nebato reDemocrats muAmerica zvakapa veDemocrats simba zhinji. Makereke eEvangeri kuAmerica vakapinda zvakanyanya munezvematongerwo enyika. Nhau dzematongerwo enyika idzi nedzemagariro evanhu dzinopa makereke vavengi vekurwa navo vanobuda pachena. Saka, vanonyengerwa kurara pamweya apo vanotadza kuona dzidziso dzevatungamiri vemakereke avo dziri kurasisa kereke.
Chechitatu, kereke yeRoman Catholic yakapinda muBhizimisi guru. Vakatengesa ruponeso vachiti vane simba rekuregerera zvivi vakavaka kereke huru yeSt Peter’s muguta reVatican nezvinhu zvehuwori izvozvo. Vakakoka misika yemari pasi rese vakaita bato rakapfumisisa pasi rese.
Makereke anopikisa vakapinda zviri nyore muriva rekuda mari zhinji chinhu chisingagoni kurambika kuvanhu vane makaro uye vane hundyire. Makereke makuru avanoti maMega akasimuka nezvivakwa zvawo zvikuru zvinoyevedza zvavanoitira mapasita nemajeti avo nendege dzacho. Vaparidzi vepazvivhiti vhiti vanoita mharidzo yehafu reawa pamharidzo iyoyo panototaurwa nhau yekuunza mari kukereke. Vanotengesa mabhuku nemaDVD zvinoreva kuti vane mari chete ndivo vanowana nhau dzakazara kuti vapinde Denga. Vaparidzi vakawanda nemapasita vakapinda muzvivi sezvo simba nepfuma zvinokwezva miyedzo yakawandisa kwavari.
Chechina, pakupedzisira, kereke inobatanidza zvakaipa zvese kubereka musanganiswa une simba wechokwadi cheBhaibheri nekuipa zvichatapa vemasangano zvovaita kuti vabve pakutevera Bhaibheri zvakazara. Vemasangano vacharamba Bhaibheri reKing James votora maBhaibheri akawodzwa. Kune ndudzi dzemaBhaibheri dzinodarika zana dzakasiyana siyana dzeBhaibheri reChirungu dzekusarudza kubva kwadziri. Izvi zvakurudzira makereke kutendera kuita kwekodzero dzengochani, wanano dzevarume nevarume vakadzi nevakadzi, kubvisa mimba uye kusarudza kuti munhu anoda kuita mukadzi here kana kuti murume.
MaKristu akaponeswa vanonyengerwa zviri nyore sezvo vanoda kutenda kuti makereke inzvimbo dzechokwad i nekuchengetedzeka kwekuti vanhu vanonamata zvakanaka. Havatodi kufunga kuti makereke ave mambure anoshandisa chitendero kunyengera.
Saka, makereke anobatanidza kuipa kwese kusimo muBhaibheri uku kukuita chinhu chakanaka mumabasa ekubatsira vanhu avanoita. Vanoita kuti vanhu vaponeswe, zvakanaka asi vanotora kodzero dzevanhu havagoni kutaura vachipikisa zvivi zvemazuva ano zvadzosera nyika kumazuva aRoti aigara muguta reSodoma. Roti akatiza muSodoma Moto usati wanaya.
Sodoma yaitongwa nechingochani. Ndicho chimwe chichava chiratidzo chekuguma kwenguva kuwora kwekereke apo kodzero dzengochani dzinenge dzavemo mukereke.
RUKA 17:28 Sezvazva kanga zvakaita vo namazuva aRoti; vaidya, nokumwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;
29 asinomusi wakabuda Roti muSodoma, moto nesurferi zvakanaya. Zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.
30 Ndizvo zvazvichaita vo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachavonekwa naro.
Pakupedzisira, nyika nekereke zvinenge zvava sepaSodoma.
ZVAKAZARURWA 7:2 Ipapo ndakavona mumwe mutumwa achikwira achibva kumabvazuva, anechisimbiso chaMwari mupenyu; akadana nenzwi guru kuvatumwa vana, vaya vakanga vapiwa simba kuti vatadzire nyika negungwa,
Munokwanisa kukuvadza vanhu kwete nyika yavanorarama kana gungwa ravari kushambira vari. Tiri kushanda nevatumwa saka vhesi iri rine chirevo chemweya. Mutumwa wepakati achishanda mukati mevamwe vatumwa vana chinova chimisikidzo chaMwari chekudenga sezvinoratidzwa kuna Zvakazarurwa chitsauko 4. Ipapo Jesu agere pachigaro chehushe akakomberedzwa nezvisikwa zvina zvine simba zvinomiririra kuratidzwa kweMweya Mutsvene wake unotungamirira kereke mukati menguva nomwe dzemakereke.
Nyika inotaura vanhu vaMwari vakarurama. Gungwa rinotaura vasakarurama marudzi evanhu vepanyika vanoita ruzhinji rwevanhu. Muti mucherechedzo wemweya wemunhu. Muti wakadzika midzi panzvimbo imwechete. Mweya wemunhu unogona kudzikwa mumvura dzeShoko raMwari kana akatendeka, achibereka michero yakanaka. Kana kuti muti unogona kudzikwa midzi munzvimbo yakaoma kwaunoparadzwa nemamiriro ekunze asina kugadzikika, wobereka musanganiswa wezvibereko zvakasvava kana zvakanaka . Zvinomiririra muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.
MAPISAREMA 1:1 Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi.
2 Asi anofarira murayiro waJEHOVA; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
3 Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
Kereke inotarira mativi mana kuti idzorere chokwadi cheBhaibheri
pakudzorera chokwadi cheBhaibheri mumashure mekurasika kwechokwadi muNguva dzeRima, kereke inopinda shanduko huru ina dzemativi ainotenda maari. Wakaipa anopikisa shanduko imwe neimwe inenge yaziviswa naMwari zvine hasha.
Divi rekutanga. Mutsiridzo yaLuther yakatyisa pasi rese.
Makereke emasangano chaiwo akabva pazvitendero zveRoman Catholic zvekuti “mabasa ekereke akanaka” anokupinzai denga. Mutsiridzo yemweya iyi yakapararira pavakatanga kutenda muruponeso kupfurikidza nyasha nekutenda mumazuva aLuther makore akapoteredza 1520. izvi zvakatanga nguva yekereke yechishanu yakagara kubva muna 1520 kusvika 1750.
Munguva iyi King James Bhaibheri rakaturikirwa rikashambadzwa mururimi rweChirungu kuti vemasangano vabve kuBhaibheri rechiRatini reVulgate.
Izvi zvaive zvakakosha sezvo England yaizotapa kota yepasi rese yogona kuparidza chokwadi cheBhaibheri munyika zhinji kudarika mamwe marudzi ese.
Ipapo, Chirungu chaizobata 60% yeintaneti. Saka, Bhaibheri reKing James raizosvika kumagumo enyika zviri nani kudarika mimwe mitauro. Mutauro unotevera ndeweRussia wakabata 10% yeIntaneti. ChiGiriki nechiHeberi zvakabatana zvinotora 1% yeintaneti. Saka, Chirungu ndicho mutauro wakanyanya kupararira wekuparidza nawo Chokwadi cheBhaibheri.
Divi repiri. Rudo pakati pehama munaShe rwaJohn Wesley rwakagumisa pfungwa yekuurayana kwevanhu vekereke.
Makore akapoteredza 1750, pakatanga zvemaIndasitiri, John Wesley akatendeukira divi kuti aite kuti kereke isimbirire pahutsvene nekuita mabasa ekuparidzira kunze kwezvivakwa zvemakereke. Iyi yaive shanduko huru mukufunga kwekereke dzikatungamirira kunguva huru yemamishinari dzaive dzakaita nheyo muBhaibheri reKing James Vhezheni. Vanhu vekuBritain vakatanga hushe hukurusa hwepasi rese. Nekudaro, Bhaibheri reKing James Vhezheni raizogona kuparidzwa makona mana enyika apo makumi emamiriyoni emamishinari vakabuda muEngland nemuScotland. Rudo rwavo nekuzvipira kwavo zvakaramba zviri kurudziro huru.
Divi rechitatu. Zvipo zvemweya unoshamisa zvePentekositi zvakapa America hutungamiri munhau dzemakereke emasangano.
VePentekositi vakatendeuka mativi kuti vaone nekuratidzira zvipo zvemweya mugore 1904 kuWales nemugore 1906 kuAmerica. Zvinosuwisa, havana kukwanisa kuramba vakasununguka paMweya negore 1917 vakakasika kugadzira masangano akarongwa nevanhu semamwe makereke.
Saka, mugore 1917 Mwari akatendera Lenini kutanga mutsiridzo yemakomiyunisiti muRusia. Russia ichashandiswa naMwari kuparadza America nemamiziri ayo enyukiriya munguva yeKutambudzika kukuru.
Mutumwa akashanyira hama Branham muna 1947 akavapa hushumiri hweMweya Unoshamisa hwakakurudzira mutsiridzo yePentekositi yakavako kusvika munana 1970.
Nenguva iyoyo, vaive vatapa mharidzo dzavo dzinozivisa zvakavanzika zveMagwaro zvinodiwa neMwenga kuti agadzirire Kuuya kweChipiri kwaJesu.
Paakabvunzwa nezvenguva yekupedzisira, Jesu akapa mhinduro inotyisa pamusoro penhau dzenhema uye kunyengerwa.
MATEO 24:4 Jesu akapindura akati kwavari, chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.
Satani ari mukereke ari “Munhu wezvivi” asina munhu anomutsvaga.
Bhaibheri harina kubvira rati “Iye Antikristu”.
Vanhu vanotsauswa nemakereke kuti vatsvage mutungamiri wezvematongerwo enyika ari mupfungwa dzavo anofungwa nevazhinji kuti achabva kuEurope, kana kuMiddle East kana kuMusoro kweAfrica. Idzi inzvimbo dzakambotapwa nemaRoma echipegani. Saka, vanotsvaga mutungamiri mukuru wezvematongerwo nenyika wekunze kwekereke asi muvengi ari mukereke. Rangarirai Judasi. Aive mupositora, mutungamiri wekereke.
Diaborosi akangwara kutidarika anotitsausa zviri nyore. Saka, anopinda mukereke achiitapa, zvisina anoona, nezvitendero zvisimo muBhaibheri apo makereke anotsvaga kunze kwawo kuti vaone ‘Iye Antikristu”.
Hushe hweRoma hwakaparadzwa nemarudzi evatorwa mazuva akapoteredza AD 476. Asi mweya weRoma yechipegani, une hutsinye wakamuka kubva mumatongo eHushe hweRoma uri Kereke yeRoman Catholic.
Roma inotapa vavengi vayo. Marudzi evatorwa akaita marudzi akanogadzwa muEurope. Mukati meNguva dzeRima kana Nguva dzepakati, Pope akatonga marudzi aya. Martin Luther akatungamirira masangano evanopikisa chiCatholic kumukira Roma. Pope ndiye aive “munhu wezvivi” akagara mutemberi yaMwari (Guta reVatican) achiratidza kuti aizviita Mwari nekuregerera zvivi. Mwari ega ndiye anoregerera zvivi. Pope aiti anoregerera zvivi nekutengesa zvipiriso zvawaitenda kuti uripire zvivi zvako.
II VATESARONIKA 2:3 ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa,
4 iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari.
Kereke yeRoma yakabva yapinza zvitendero zvayo mukereke kuti iite kuti masangano ave mifananidzo yechikara chinotenda dzidziso dzakawanda dzekereke yeRoman Catholic (Chikara).
Mufananidzo mumwechete. Bhaibheri harina kubvira ratiti tipemberere kuberekwa kwaShe. Pope Jurio I vakatevedzera musi wa 25 Zvita waive musi wakaberekwa mwari wezuva weRoma yemapegani.
Vanhu veCatholic vanopemberera masi. Saka Kirisimasi yakapinda mukereke makore akapoteredza AD 350. vemasangano vakatevedzera Kisimusi iyi.
Pauro anoti mutambo wechitendero kana chiitiko pazuva rakatarwa gore rega rega huranda kuzvinhu zvisina maturo zvinoita kuti iye atye kuti akabata basa pasina pamusoro pevanhu vanotevera zvakadaro.
VAGARATIA 4:9 asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?
10 Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
25 musi. Mwedzi wechi 12 wazvita, nguva yeKisimusi, gore rega rega.
VAGARATIA 4:11 Ndinotya pamsoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.
Asi kereke yanhasi inofunga kuti itori mhemberero hurusa yemaKristu pagore.
MaKristu anhasi havadi chero muKristu asingapembereri Kisimusi uye asingatauri mazwi asimo muMagwaro ekuti “muve neKisimusi yakanaka inofadza”.
Hazvishamisi kuti nei kusina chiprofita chenguva yekupedzisira chinotaura zvakanaka pamusoro pekereke yanhasi.
Ikozvino kune masangano emakereke anodarika 45.000 akasiyana vese vanoti vari mugwara chairo. Uye, vane maBhaibheri akasiyana anodarika zana eChirungu ekusarudza kubva kwaari. Tichiwedzera, vakawanda vanotenda kuti munhu mumwe nemumwe anotenderwa kutenda chokwadi chake chaanoda iye. Hakuna chokwadi chikuru kwavari. Makereke vasvika pakuva renje remweya zvinosuwisa.
Divi rechina.
Saka, divi rechina richiri kufanira kutendeukirwa munguva yekupedzisira nderipi? Ishanduoko dzipi dzatiri kufanira kuita?
I VAKORINTE 15:51 Tarirai, ndinokuvudzai chakavanzika: Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose;
52 pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa mukusavora; nesu tichashandurwa;
Divi rekupedzisira ratinofanira kutendeukira nderekudzidza kushandurwa miviri yedu kubva mukuwora kupihwa miviri yekusawora.
Izvi zvichada rubatsiro rwevatumwa.
William Branham pachake aitoda kubatsirwa nevatumwa vanomwe muna Kurume 1963 kuti anzwisise Zvakazarurwa zveZvisimbiso zvinomwe.
Tinofanira kugadzirira kugamuchira zvakavanzika zvisina kunyorwa zveKutinhira kunomwe, zita idzva raJesu risina noziva, uye chakavanzika chakazara cheKuuya kweChipiri kwaJesu. Kuti tizivi zaruriro dzezvinhu zvisina kunyorwa izvi tinofanira kunzwisisa zvakazara zvakavanzika zvakanyorwa muMagwaro. Mharidzo dzeHama Branham dzinotipa gwara rekuzwisisa zvakavanzika zvakaziviswa (zvizhinji) zveMagwaro.
Zvakavanzika zvaMwari izvi (zvizhinji) hazvigoni kuziviswa kana kupedziswa sezvo zvimwe zvacho zvichitaura pamusoro pemaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru. Izvi hazvinei nemwenga saka Mwari haazivisi izvozvo kwatiri. Kana tikagona kudzidza zvakavanzika zvaMwari (muhuzhinji) zvinodiwa kugadzirira Mwenga Kuuya kwechipiri, zvinotigonesa kupedzisa chakavanzika chaMwari (Chimwechete). Chakavanzika chikuru ichi chinopedziswa chete kana mwenga anorarama akadzorerwa kunotenda zvakatendwa nemapostora madzibaba akatanga kereke yekutanga.
Hatigoni kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri zvisina kunyorwa nekuti nguva yekereke yekutanga haina kubvira yazvinzwisisa.
Mbeu yekupedzisira inokohwewa pakupedzisira inofanira kufanana nembeu yekutanga yakadyarwa pakutanga nemapostora vakatanga Testamente Itsva.
Mumashure mekumuka kwevakafa, Kutinhira kunomwe kuchareva kutiratidza kuti toshandurwa sei miviri yedu yenyama inowora kupihwa miviri isingawori. Ipapo chete ndipo patinozogona kutorwa kukwira kunosangana naShe Kudenga. Ndiro divi rekupedzisira ratinofanira kutendeukira hatigoni kutorwa kukwira kudenga mumiviri yatinayo ino izere zvivi.
Shanduko yekupedzisira ichaitika kudzikinurwa kwemuviri kupihwa miviri usina zvivi, toshandura nzira tokwira kudenga.
VAROMA 8:23 Zvisati zviri izvo bedzi, asi nesu vo, kunyange tinezvibereko zvokutanga zvoMweya, nesu timene tinogomera mukati medu, tichimirira kuitwa kwedu vana, ndiko kudzikinurwa kwomuviri wedu.
Kuti titarire divi rekupedzisira iri tinofanira kuva nechinangwa chechokwadi tinofanira kushingirira kuva sekereke yekutanga tinofanira kuona zvakajeka zvipingaidzo zviri kushandura zvakaipa zviri kuita kuti chichechi chechi (kuva nhengo yekereke) chiite dutu remweya remazano akaitwa nevanhu.
Kereke imwechete inofanira kuvimbwa nayo ikereke yekutanga
Kuti tishandure nzira yekufamba nayo zvakanaka, tinofanira kuva nechinangwa chakajeka. Tinofanira kuva nechinangwa chekufanana nekereke yeTestamente Itsva.
Chigadziko chemwenje minomwe muTabernakeri yemaJuda chinomiririra nguva nomwe dzemakereke emaKristu.
Nguva yekereke yekutanga yeEfeso yakatanga musi wePentekositi Mwari paakatungidza Mwenje wepakati. Nguva yekereke yekutanga iyi yaive kereke pakururama zvese nekunaka. Ndiyo muenzaniso wekuti kereke yechokwadi yakaita sei, zvakatendwa pakereke yeTestamente Itsva zvinofanira kuva nheyo dzemafungiro edu ese semaKristu. Chero chinhu chakasiyana nezvakatendwa paTestamente Itsva chinoreva kuti tatotsauswa kuiswa kurudyi kana kuruboshwe. Kutsauswa hakuna kutinakira pakutenda kwedu. Mabhii mana ekutanga ezwi rekuti kutsauswa paChirungu (deviation) anofanana nemabhii mana ekutanga pazita reDiaborosi (Devil) anova muvambi wenhanho imwe neimwe inoitwa kubva paMagwaro.
Pakutanga kwenhorondo yekereke, Mwari akaita kereke nenzira yaaida kuti ive iri.
Pakupedzisira, Mwari anoda kuti kereke yake ive zvaakaitanga iri.
Jesu akaonekwa chete pakati pemwenje. Mwenje wepakati unomiririra nguva yekereke yekutanga.
ZVAKAZARURWA 1:13 Napakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakafanana noMwanakomana womunhu,
Hakuna munhu anofanira kuita musoro wekereke
Takufanira kuburitsa pachema kuti zvakaipa zvakapinda zvikasvibisa kereke ndezvipi.
Hunyengeri muchitendero hunokura kana munhu mumwechete akaita musoro wekereke.
Kuipa kukuru kwakatanga kupikiswa nekereke yekutanga kwaive hutungamiri hwevanhu. Munhu anosimudzirwa kuitwa musoro wekereke.
Kristu ndiye ega Musoro wekereke.
VAEFESO 5:23 Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
Asi maJuda vaive nechiprista chaAroni chaive chehutungamiriri hwevanhu hwakasimudzirwa pamusoro pesangano vanhu vaikwanisa chete kunamata Mwari vaprista ava vakamira pakati pavo naMwari. Nekufamba kwenguva chiprista chakasimudzirwa chikaiswa pakati pevanhu naMwari ichi chakakundikana zvakanyanyisa. Chero chinhu chinovimba nevanhu kuti chivepo chinokundikana. Mwari akazobvarura chidzitiro cheTembere munguva yekurovererwa pamuchinjiko kwakava magumo ekunamata muTemberi zvikagumisa chiprista nezvipiriso zvemhuka mugore AD 33.
Asi maprista aizvikudza aya vakaenderera mberi vakabatirira pazvegumi nepasimba ravaive naro pamusoro pevanhu, ndizvo zvega zvavaida muhupenyu. Vakaramba vachitonga maJuda, vachitobudirira kuvanyengera apo vaiita zvinhu zvaiita sezvekunamata zvaive zvisisina chero chokwadi mukati. Pakupedzisira, Mwari akaparadza Temberi muna AD 70, pamwechete nemaprista aizvida vaichengetedza nhema dzavo dzechitendero chaive chisisarevi chinhu vachifamba nzira yakaipa sezvo Mwari vaive vatotendeuka vatarira rumwe rutivi.
Kereke haifaniri kuita chiprista chakasimudzirwa.
Kereke yeTestamente Itsva inofanira kusiyana nemaprista echiJuda akawodza kutenda kwemaJuda. Vatungamiri vezvitendero ava ndivo vanhu vakatuma vanhu kuti varoverere Messiasi.
Hakufaniri kuva nechiprista chevanhu pakati pevanhu naMwari. Munhu mumwe nemumwe anofanira kuyanana ega naMwari.
Mwari akasarudza maKristu ese kuti vave vaprista.
Pavanotakura Evangeri kuenda naro pasi rese rizere zvivi, kunoparidza nzvimbo dzese nemativi ese, asi vachitarira kuvapostora vakatanga naro. Panotendeuka vatadzi vanobva vava nhengo dzevaprista. Saka hakuna muKristu akamira pakati paMwari nemamwe maKristu. “Tarirai kuti maKristu aya anodanana sei” ndiko kwaive kuyemura kwemaPegani.
MuKristu anogona kumira pakati paMwari nemunhu asina kuponeswa, achinongedzerera vanhu kune Muponesi. Asi kana vatadzi vatendeuka, vanenge vafanana nemamwe maKristu vave nhengo dzechiprista chaMambo chitsvene.
I PETRO 2:9 Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, vuPirisita bwamambo,
Hukama pachiKristu hunobva pakuenzana. Tese tinogona kudzidza kubva kune umwe. Vanhu vakasiyana vane zvipo zvakasiyana nehushumiri hwakasiyana asi hakuna ari nani kudarika umwe.
Chinhu chakanaka kuti maKristu ataure ndechekuti “handisi pamusoro pako, handisi pasi pako asi ndiri parutivi rwako nguva dzose.”
I PETRO 2:17 Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.
I PETRO 5:5 Saizvozvo imi vaduku, muzviise pasi pavakuru, nemi mose pfekai kuzvininipisa mumwe kunomumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.
Tinozvininipisa kune vamwe nekugamuchira Magwaro anotaurwa nevamwe. Hatiedze kutsigira kuti tiri kunatsa, tinongosimbisa kuti tinotevera Magwaro zvakazara. Kana muine chipo chiri nani kudarika vamwe, Mwari ndiye akakupai. Saka hazvikuitei kuti muve nani kuvadarika. Mungori nani nekuda kwezvamakapihwa naMwari. Chero chipo chamakapihwa naMwari, anotarisira kuti muchishandise nekushumira vamwe, kwete kutonga vamwe nekuda kwemazano enyu. Munofanira kungotaura zvakataurwa neMagwaro.
Zvakafanana, kana munhu akanongedzera Magwaro akasiyana neatinoita nezvawo kana atinotenda maari, tinobva tatogamuchira Magwaro pakarepo, zvisinei nekuti amanongedzera ndiyani.
Mizambiringa miviri inokura mukereke yemaKristu kubva pakutanga.
Muzambiringa wechokwadi unoda kutungamirirwa nezvakanyorwa muMagwaro. Muzambiringa wenhema waida kuiswa kumazano netsika dzevanhu.
Muzambiringa wechokwadi ndiwo maKristu ainzwa kuti aifanira kukudza hukama hwawo naJesu votenda Bhaibheri vasingadi kuti ndangariro dzavo dzitongwe nezvinotaura vamwe vanhu. Havana rudo rwekutevera mazano eboka zvatinodaidza mazuvano kuti “kufunga kweboka”.
Rusununguko rwekunamata Mwari tichishandisa zvakanyorwa muBaibheri uye kubva pakuda kwemunhu akazvimiririra rwaive shongwe yomoto yaisagona kurongwa nemunhu. Yaibvira ichienda mativi akasiyana uye dai yaizofa rumwe rutivi yaizotungira kune rumwe. Kazhinji, sevanhu 7000 vainamata Mwari muchivande mumazuva aErija, zvaive zvakavanzwa kumeso evazhinji.
Kurondwa kusingagumi kwakamanikidza maKristu kuramba vakavanda. Asi zvisinei nezvaivawira, kwaive nevanhu vaisimudzwa naMwari vaida havo kuterera zvaive zvakanyorwa muBhaibheri chete. Ava kazhinji vaive vasingaonekwe, mapoka akazvininipisa aida kushumira Mwari chinyararire vachiita mabasa akanaka apo vaitora mharidzo paGomo kuiita murawo wekurarama kwavo kwemazuva ese.
62-0601 KUTORA RUTIVI RWAJESU
“Zvino, munoziva here, vanhu vekutanga ivavo pavaibuda, dzimwe nguva vaingova vatanhatu kana vasere, pamwechete? Vaizunza nyika. Zvakanaka, munoziva, Akwira naPrisira, mutsiridzo yaiitwa naAporo ikoko, kwaingove nevanhu vatanhatu kana vasere varume nevakadzi mukereke paboka iroro. Kereke iyoyo yese, yaive nevanhu vatanhatu kana vasere. Imi makapetwa kashanu kana katanhatu husiku huno pahuwandu hwavaive nhahwo”.
Hakuna simba rechero munhu, zvisinei nekuti akaita sei, raitenderwa kuisa parutivi simba reMagwaro.
Muzambiringa wechokwadi uyu wakaenderera mberi kusvika parinhasi. Vanogona kuwadzana mukereke, asi havasi vekereke sezvo vari vaJesu vanotsvaga kuteerera Bhaibheri rake chete, chero zvazvo izvi zvichigona kuvaita kuti vashaye mbiri kana kuti varambwe. Vanoda rusununguko rwekuzvifungira vobvuma kuti zano rabva muMagwaro. Vanobva vatenda pfungwa iyi nekuti Bhaibheri ndiro rinotaura izvozvo, kwete kuti mumwe munhu ndiye anotaura izvozvo.
Havanzwi kudekara kana munhu akamira pakati pavo naMwari, kunyanya nekuti munhu wese ane zvaanotadzawo. Hakuna mwenga anoda munhu anomira pakati pake nemurume wake. Hakuna mwenga anoda kuterera zvinotaura chero murume, asi zvinotaura murume wake chete. Nenzira imwe mwenga waMwari anoterera Ishe Jesu Kristu chete.
Mweya weRoma yemapegani waive naBaba vari musoro wemwanasikana wavo chero zvazvo aive akawanikwa.
Mweya wakaipa uyu wakabviswa mukereke yechokwadi apo murume anova musoro wemukadzi wake. Mukadzi anosiya zita rababa vake otora zita remurume wake. Baba vemukadzi havasisina chekutaura pamusoro pehupenyu hwake.
Hakuna mukadzi anoita misoro miviri, chinenge chatova chikara.
ROMANS 3:12 Vakatsauka vose, vakava vanhu vasinamaturo, hakuna unoita zvakanaka, kunyange nomumwe chete;
JEREMIA 17:5 Zvanzi naJEHOVA, "Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomoyo unotsauka kuna JEHOVA.
Hakuna munhu wenyama ane mhinduro dzese kunyika yedu yakaoma yanhasi. Tinofanira kutsvaga zvese Mumagwaro kuti tiwane zano.
Mizambiringa yese yainakidza pakuita kwayo pamabasa erudo aiitwa nemaKristu. Rudo urwu rwaive chombo chisina simba pakuita kuti chiKristu chibudirire. Vaida nherera, shirikadzi, nevarombo nevaishaya. Zvavaiita munharaunda zvaionekwa munguva dzematambudziko dzakafanana nenzara, kudengenyeka kwenyika, hosha, nehondo. Vaipa mari zhinji, zvinhu nenguva yavo.
Mapostora paakatanga kereke yekutanga, Testamente Itsva ikanyorwa, mapostora akabva abva panzvimbo. Vaive vaedza kugadza kereke yepanzvimbo yaitongwa neboka revakuru vaibatirira pane zvaive zvataurwa nevapostora, nezvavakanyora muTestamente Itsva.
I PETRO 5:1 Naizvozvo ndinoraira vakuru pakati penyu, ini mukuru pamwe chete navo nechapupu chamadambudziko aKristu, nomugovani navo wokubwinya kuchazoratidzwa, ndichiti:
2 Fudzai boka raMwari riri pakati penyu, musingazviiti nokurovererwa, asi nomoyo unoda nokuda kwaMwari, musingazviiti nokuda kwokukarira fuma yakaipa;
MaKristu akaponeswa ese vaive maprista, mukuenzana kwehama uku, maive musina chiprista chechiAroni chakasimudzirwa pamusoro pechero munhu. Muenzaniso waJohane Mubapatidzi waikurudzira vaparidzi kunongedzera vanhu kuna Kristu neShoko rakanyorwa, kwete kwavari.
Johane Mubapatidzi akati:
JOHANE 3:30 Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.
Johane aive mukuri wenzira uye muprofita asi hushumiri hwake hwaida kuti anongedzerere vanhu kuvaratidza Jesu.
Tinodzidza chidzidzo chikuru. Hushumiri hwedu hwakakosha hunonyanya kushanda kana tikabva panzira kuti Jesu ega aonekwe.
JOHANE 1:35 Ava mangwana zve Johane wakanga amire navadzidzi vake vaviri;
36 akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, Gwaiana raMwari!
37 Ivavo vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu
Humbowo hwekuti vadzidzi vaJohane Mubapatidzi vaive vanzwa Johane achitaura hwairatidzwa nekuda kwavo kutevera Jesu, kwete Johane.
Havana kuramba vachitevera Johane achitaura nezvaJesu.
Vakanzwa Johane achizivisa Jesu seMunhu achifamba pakati pevanhu vakamira kutevera Johane vakatanga kutevera Jesu.
Takanzwa hama Branham vachizivisa zvakavanzika zvaMwari zvinoratidza Jesu achifamba nemapeji eBhaibheri. Tinozivisa chokwadi neBhaibheri, kwete kubva pane zvakataurwa nemunhu. Nekuti Jes undiye Shoko raMwari.
Asi Satani akapikisa kereke yekutanga iyi. Achiri kupikisawo kuziviswa kwechokwadi chichibva muBhaibheri reKing James Vhezheni.
Satani akashandisa hushe hweRoma yemapegani kuuraya makumi emamiriyoni emaKristu. Asi kereke yakakura saka Satani akasarudza kusvibisa kereke achishandisa vatungamiriri vanoitonga.
Makereke anotora tsika dzechipegani zviri nyore
Murawo wehupenyu unoti pose pane chiedza, panewo mumvuri. Munhu akadzivirira chiedza, anozviitira mumvuri.
Vanoenda kumakereke vanoshandisa mazano avo nepfungwa dzavo kudzivirira Magwaro.
Mapegani vaigarova nemuprista aitonga Tembere.
Kereke yakatanga kuteedzera chipegani nekusimudzira munhu kuita musoro unotungamirira kereke. Diaborosi akashanda zvisina zororo kusimudzira chiprista chevanhu pamabasa ehushumiri hushanu pakati pevanhu naMwari. Zvichibva kuna Satani, kunofanira kuva nemunhu pakati pako neShoko. Hushumiri uhu, hukangobudirira kugamuchirwa kuva musoro wekereke imwe neimwe, pakupedzisira hunobvisa vanhu pane zvakanyorwa muMagwaro. MaKristu paakamira kutevera Magwaro zvakazara vakavarairwa, sora remafungiro evanhu nehutongi hwevanhu rakadyarwa pakati pembeu yeShoko raMwari.
Zviri nyore kwazvo kutenderana nemunhu anotonga ane chipo anenge ari mutungamiri wekereke, pachinzvimbo chekuedza kumupikisa. Kana mukatenderana naye, anenge achifara kwazvo okuitai kuti munzwi kunge mune mbiri uye munodiwa kwazvo. Asi mukangopesana naye, pakarepo anobva ashanduka okuitai kuti munzwe musingadiwi zvachose. Saka anotitonga nekutarisa zvatinoda mumoyo yedu kunyanya pakuda kuva nhengo dzeboka uye kuda kwedu kuva nhengo dzekereke nekugamuchirwa neruzhinji. Haatitonge nekutarisa zvakanyorwa muMagwaro.
65-1128 NZVIMBO YAMWARI IMWECHETE YATAKAPIWA YEKUNAMATIRA
Uko kuTucson, vaiteerera mangwanani ndakambozvishayawo, ...
Ndinogarokurudzira vanhu, “Endai kukereke zvisinei nekuti maendepi.”
Ndakaona vanhu vachidududza, vachienda neimwe nzira. Ndikafunga, “Chii chimbori chikonzero?”
Ndakaenda kune vamwe vavo,
“Zuva rekutanga uriko, vanosvika kwauri vokuti, ‘Huyai kukereke kwedu.’ kana musina kuita izvozvo, hamugamuchirwi.” Mazviona? Mazviona? Chinhu chinotomanikidzirwa, zvinomanikidzirwa pavari, mazviona, ndiyo Babironi.
Asi muna Kristu, munopinda nekusarudzwa; kwete nekumanikidzwa, moyo wako unokukwezverako.
Mwari haana kuisa zita rake muBabironi. Zviri pedyo zvino. Haagoni kuisa zita rake paBabironi, makereke. Oh, vano, vanoisa zita rake pakadaro apo, asi iye haaite. Kwete.
64 -0629 MWARI WAMASIMBAOSE CHIZIVISWA PAMBERI PEDU
... Mwari arikudanidzira eksodo (rwendo),
Kuti tibve kuseri kwezvidzitiro zvenyama zvinoedza kumanikidzira, vanoedza kupinda mukereke kuti vave nhengo
Kwete Methodist, Baptisti, Presbyterian, zvese pamwechete, asi makereke ePentekositi
Inhau yemunhu akazvimiririra. Iwe naMwari. Unofanira kupinda, kwete boka rako, kwete kereke yako, kwete pasita wako, asi imi munofanira kupinda.
Magiriki vaive vakachenjera vaine hunyanzvi munhau yekurwira zvakaipa, netsananguro dzavo dzinonyengera nekuturikira kwavo kwakachenjera. Kufunga kwavo kwakachenjera kwakakwenenzvera kukaparidza zvakavanzika zveBabironi yechipegani zvakafanana netiriniti yemapegani. Saka kupinda kwemazano evanhu netsika dzemapegani kwakatanga.
Nei makereke achivaka chisuvi chakareba pamusoro pekereke? Havana kutora zano iroro muBhaibheri. Chaive chinhu chakanga chiri pamasvingo eBaberi.
Nei vanhu vachishandisa maIsita egi? Mazai anoiswa ruvara ovigwa munguva yemwedzi waKurume naKubvumbi. Iyi itsika kubva kuna mwarikadzi ishita akaburuka ari muzai akatsotsonya murwizi rweEfreitesi. Mazai eIsita nemabhani eIsita haana chekuita neBhaibheri. Mabhani (tsuro) anobereka nekukasika kwazvo mufananidzo wemaogi echipegani. Kubata mimba muna Kubvumbi mwana anozvarwa muna Zvita. Ndicho chikonzero nei mapegani achikoshesa mazuva ekuzvarwa kwevamwari vavo muna Zvita. Makereke nekupusa akatevedzera izvozvo.
Mufananidzo wevasikana gumi kuna Mateo Chitsauko 25 unotaura pamusoro pevakadzi vakachena mucherechedzo wevanhu vakaponeswa mukereke. Vashanu vakapusa. MaKristu akaponeswa vakanyengerwa netsika dzemapegani.
Hakuna “Chishanu chakanaka (Good Friday” muBhaibheri. Jesu aifanira kuita husiku hutatu muguva asati amuka musi weSvondo. Saka, aifanira kufa musi weChina.
Mateo 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu novusiku hwutatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu uchava mumoyo wenyika mazuva matatu novusiku bwutatu.
Danieri akati “Nyanga duku” “yaizoshandura nguva”. Simba rekereke yeRoman Catholic iguta reVatican nyika dukusa pasi rese. Kanyika kaduku. Kasingasviki sikweya mita rimwechete pakukura. Asi vakashandura zuva rakazvarwa Jesu risina anoziva kuriisa musi wa25 Zvita. Vakashandura zvakare musi waakafa kubva pamusi weChina kuenda pamusi weChishanu. Asi paifanira kuita mazuva matatu ari muguva. Saka, vakagadzira “Muvhuro weIsita” usimo muMagwaro usina chakaitika mauri. Vemasangano anopikisa vakasarudza kutenda mukukanganisa uku. Vasikana vakachena mapenzi . Vakaponeswa kubva kugehena kupfurikidza kutendeuka asi vakanyengerwa nezvitendero zvisimo muMagwaro vari kunanga kunguva yeKutambudzika kukuru kwavakamirirwa nerufu rwakaipisisa.
Totenda Kereke yeRoman Catholic tsika zhinji “dzisingakuvadze” dzakapinda mukereke nemumasangano akapokana nechiCatholic.
Kutendeutsira vana kuchiKristu kwakatsiva kutenda kwekuti vanhu vakuru vanofanira kutendeuka vobapatidzwa muZita raJesu Kristu.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
Gwaro iri rakarambwa navo. Vanobapatidzwa muzita raBaba, Mwanakomana, neroMweya Mutsvene. Asi havazivi kuti zita racho (rimwechete) nderekutii. Saka, Mwari weTiriniti haana zita. Vakapikisa vakabuda muchiCatholic vakanyengerwa zvakare nedzidziso dzeCatholic.
Saka, nhanho yekutanga yakatorwa kuti ibvise vanhu zvakachenjera paShoko rakanyorwa. Kuita uku kwaizoenderera mberi mukati menhorondo yekereke apo mazano evanhu akachenjera anotsiva Magwaro akanyorwa. Nhasi vesainzi vakangwara vanonyengera vanhu netsananguro dzavo dzeBig Bang dzinotsanangurwa kuti kusika hakunei naMwari. Asi sainzi hadzina kubvira dzaita murairo wekusika kubva pasina. Dzagara dzinototanga nechimwe chinhu. Simba, kuputika, kana murairo wekudonha, kana kukandirwa mudenga kwavasingagoni kutsanangura. Hakusi kusika. Kusika kunotangira pasina kana chiripo pasina nzvimbo, nguva kana simba kana murairo wefizikisi. Nyanzvi dzinodzidzisa vana kuti vakashanduka vachibva kumhuka asi vanozodemba demba kuti vana vedu vanoita kunge mhuka.
Muzambiringa wenhema wakatanga zvakadzikama asi waizokura kuva kereke inotonga. Vatungamiri vekereke yakarongwa nevanhu iyi vakagutsa vanhu nekuturikira Bhaibheri vachishandisa kungwara kwavo.
Muzambiringa wenhema uyu waive nevanhu vanoda kutarisira rubatsiro kubva kumunhu mutsvene, anovaudza kuti votenda mune zvipi.
Satani aizoedza zvisina magumo kushandisa vatungamiri kutonga vanhu, nekuvaudza kuti vatende muzvinhu zvinovabvisa paTestamente Itsva.
Kuchengetedzeka kwavo kuri mukuzviita nhengo dzekereke, pachinzvimbo chekuva vaKristu, Bhaibheri.
Nhasi kune masangano anodarika 45,000 akasiyana siyana emakereke vese vanoti vari kugona, asi vese vakatsanangurwa kuti mapofu.
Kereke yeRoman Catholic ndiyo inoonekwa sekereke yakurisa uye hombesa pamasangano aya ese. Zvinosimbisa mutsetse mukurusa wevatongi munyika dzekumadokero. Vanhu vanofanira kuzvininipisa kuvanhu vanovatungamirira vanodaidzwa kuti maPope, chero dai vaipokana naPope akanga amboripo.
Boka rekereke rakarongwa reRoman Catholic iri, rine simba rinodakadza rekurarama muzvipingaidzo zvehushe hweRoma hwakaparara, zvakatevedzerwa nemasangano asiri maCatholic ane hushumiri hwemabasa mashanu akasimudzirwa kuti amire pakati pemaKristu naMwari. Kugadzikika kwaida kuti munhu mumwechete ave musoro wehushumiri hwemabasa mashanu aya ese, saka “pasita” akataurwa kamwechete muTestamente Itsva, akagadzwa sehushumiri hunopinda husina anokwikwidza pakuva musoro wekereke. Mabhishopu akasimuka kuva pamusoro pemapasita mumaguta.
MaKristu akararama neTestamente Itsva zvakazara, vakasaita zvinzvimbo zvemukereke, kazhinji havatozivikanwe kana kuonekwa. Zvinzvimbo zvinokura zvezvitendero zvakarongwa zvinoonekwa nekukwezva meso evenhorondo.
MaKristu aifanira kusangana nekuzvidzwa uye kurwadziswa. Asi kudzikisirwa kunosimbisa kutenda kwavo. Kurwadziswa kunoita kuti vapararire, zvokudza miganhu yekereke. Dutu rekutanga rezviitiko zvemamishinari zvakanga zviri muchiKristu chekutanga, kwaive kutenda kwaive nevarume nevakadzi vaizvipira kukufira.
ChiKristu chenguva dzekutanga chaive chisiri chevane hana nhete. Kwaive kusina vanongopindira vasina kudanwa naMwari. Vaive nehwaro hwepamusoro kwazvo. Miedzo yavaisangana nayo yaive mikuru kwazvo.
MABASA 5:13 Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza
Aya aive asiri makereke ekuti waidekara uri maari kana kuvarairwa muchiita zvamunoda.
Asi, sezvo kutendeuka nekubapatidzwa muzita raJesu kuriiko kiyi yekuzarura musiwo weDenga kuti Mwenga apinde, zvicharwiswa naDiaborosi. Makereke anonyuk asingaparidzi pamusoro pekutendeuka kubva kuzvivi zvinosvitsa pakuti munhu anzi azvarwa patsva, Jesu paanogamuchirwa saIshe naMuponesi anoita kuti vanhu vabve kuzvivi, ovadzora pazvese zvavanoita muhupenyu.
Zvino zita raMwari ari munhu, Jesu Kristu, rinorwiswa nekudzikisira Jesu kumuita Mwanakomana waMwari chete. Saka zita raJesu Kristu rinobviswa kubva parubapatidzo rwemvura. Nekukasika zvinzvimbo zvitatu, Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene zvinotsiva zita raJesu parubapatidzo rwemvura.
Rubapatidzo rwemvura mucherechedzo wekufa, kuvigwa nekumuka. Asi kana Baba naMweya Mutsvene vari Vanhu vakasiyana, havana kufa, kana kuvigwa. Zvakadaro, havayanani nerubapatidzo rwemvura chero zvidii. Saka, rubapatidzo muzita (rimwechete) revanhu vaviri, Baba naMweya Mutsvene hazvirevi chinhu nekuti hakuna zita rimwechete rekudaidza Vanhu vaviri ava. Hakutorina zita rekudaidza Mweya Mutsvene muBhaibheri. Saka kutaura pamusoro pezita reMweya Mutsvene hakurevi chinhu.
NDINI IYE harizi zita. Kutaura kusina kutya kana kuzeza kwehuvepo husingagumi.
Kuita simba pamusoro pekereke kunokonzeresa kuita simba munezvematongerwo enyika
Simba mushonga unodiwa kwazvo nevanhu.
Kusimudzira munhu pachinzvimbo chemasimba pamusoro pekereke kunosvitsa pakupinda munezvematongerwo enyika kuti munhu awedzere simba iroro.
Uyu aive muvengi akaipisisa wechipiri wekereke. Kana munhu akaita simba pamusoro pesangano, rudo rwekuwedzera simba runotumbuka. Nekukasika vatungamiri vemakereke vanopinda munezvematongerwo enyika sezvo zvichivapa simba rakawedzerwa pamusoro pevanhu.
Simba rezvematongerwo enyika rinovapawo kugona kurwadzisa vapikisi vavo. Kereke yakarwadziswa neHushe hweRoma yemapegani yakashanduka kuita varovereri uye vaurayi vevose vaaipikisa dzidziso dzavo. Makumi emamiriyoni evanhu vaizourayiwa.
Kuparadzwa kwekupedzisira kweJerusarema muna AD 70 kwakabvisa kereke yemaKristu yaionekwa yakakosha kudarika kereke muRoma. Saka, zvakava nyore kuti munhu asimuke atonge kereke kusvika pakuipa nekubva paMagwaro Shoko rakanyorwa zvishoma nezvishoma.
Munguva yekereke yekutanga, vanhu ndivo vaive kereke kwete chivakwa.
Kurovererwa kwakabatanidza vanhu vekereke yekutanga. Vakanamata muchivande vachitya kusungwa. Kushambadza kwaive kwakaipa. “Makereke” ekutangisisa aive akavanzika ari emudzimba aigadziriswa muchivande dai sangano aizokura. Mumashure megore AD 312 ndipo pakazoshambadzwa kereke zvekuti yaive yava nyore kuona nekuziva kuti iripo. Ndipo pakamisa mubati Constantine kurovererwa kwekereke.
Chivakwa chekutangisisa chekereke yaive kereke yaonekwa nevanoita tsvagurudzo dzemabwe nezvivakwa yaidzokera kugore AD 220. Saka, “chivakwa chekereke” chaive chisiko munguva yekereke yekutanga yakaguma muna AD 170
BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE NGUVA YEKEREKE YEEFESO
Chamunofanira kuita chete kurangarira kufamba kwaMwari muMweya kwekupedzisira uku. Vakanamatira mudzimba kana muzvivakwa zvezvitoro zvaive zvitsaru. Vaive nechokwadi. Asi hazvina kutora nguvaa yakanyanya kureba vasati vatanga kuwana mari inokwana kuti vavake makereke akanaka. Vakaronga chirongwa vakachifambisa kupfurikidza hutungamiri hwevanhu.
Chimisikidzo chechiKristu chakatanga zvine mufangu nguva yekereke yekutanga chichiitirwa mudzimba.
VAROMA 16:3 Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.
VAROMA 16:5 Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo.
Zvivakwa “zvemakereke” zvaive zvisiri zvinhu zvaisungirwa kuvapo munguva yekereke yemazuva eTestamente Itsva. Kuronga vanhu “mukereke” zvinotungamirira kusvika pahutungamiri hwemunhu mumwechete nemitemo yakaitwa nevanhu uye zvitendero zvacho. Diaborosi akagara achishandisa nzira inobudirira iyi kunyanya munguva dzedu dzemazuva ano. Anounza shanduko zvishoma nezvishoma zvisingaonekwi nevaya vasina kuchangamuka.
MABASA 20:17 Zvino iye ari paMireto, akatumira Efeso kundodana vakuru vekereke.
MABASA 20:27 Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.
28 Zvichenjererei imi, neboka rose ramakaitwa vatariri varo noMweya Mutsene, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.
29 Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka.
30 Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere.
Hutungamiriri hwevanhu hunopinda nevanhu vanoti “Nditeverei”.
Munhu mumwechete, ari mutungamiri wekereke, kwete boka revatungamiriri.
I TIMOTIO 5:17 Vakuru vanobata kereke zvakanaka ngavanzi vanofanirwa nokukudzwa kaviri, zvikuru avo vanobata pashoko napakudzidzisa.
Venhorondo vanoti mukati memazera maviri mumashure mekufa kwevapostora,
Nenzira inoratidzwa muchivande, bhishopu aisimuka ari mukuru wekereke.
Ignatiasi wepaAntiokia, akafa makore akapoteredza AD 140, akati aive Bhishopu weAntiokia, akataura kuti Bhishopu wepanzvimbo muguta aive mumiririri waMwari panyika akati, “Tinofanira kutora Bhishopu saIshe pachake”. Nhasi vanhu vemukereke vanoti akafa gore rakapoteredza AD 110 achiedza kutaura zvisizvo kuti mupositora Johane akamutambira kuti ave Bhishopu weAntiokia. Johane akanga afa kunana AD 100. Hapana muTestamente Itsva pakaitwa pasita musoro wekereke kana kuitwa Bhishopu musoro weguta muTestamente Itsva.
Bhishopu ari Musoro wekereke muguta yaive pfungwa itsva yakatora ndangariro dzemaKristu. Iyi yaive nzira yaizoenda nevakawanda. Kwaive kusimudzirwa kwemunhu kusimo muMagwaro kuti aite musoro wekereke. Kuita munhu musoro wekereke hakusi muMagwaro, kumuenzanisa naMwari kwaive kwakaipa zvakare. Kutadza uku kwakatanga kupinda mukereke makore akapoteredza AD 120, mumashure merufu rwemapositora.
MaKristu anofunga kuti iyi yaive nzira yakanaka yekurwisa chakaipa, kukurudzira tsika dzevaNikoraiti kunova kusimudzira munhu mutsvene pamusoro pekereke. Mabhishopu vaive vachionekwa vari pamusoro peungano kana kuti pevakuru pakereke. Chiprista chechiAroni chaive chatanga kurongwa chaimira pakati peungano naMwari. Kereke yaive yakazorora zvekuti haina kukoshesa kufuratira kutadza uku nekukubvisa. MaKristu vakatanga kushaiwa hanya pamusoro penhau dzekuchengetedza mashoko ekutenda kwao mugwara redzidziso dzemapostora.
Izvi zvakabata pahutungamiri hwevanhu zvikapinda zvishoma nezvishoma asi pachokwadi.
Mumashure mechinguvana, nekuti vaive vakanganwa zvaive zvataurwa nemapostora, (kana kuti nekuti vaive vanyanya kuvarairwa pakutsvaga chokwadi kubva kuMagwaro) makereke akabvuma kuzviisa pasi pemunhu aizviita musoro wekereke. Sezvazviri nhasi.
Asi nenguva yakapera nguva yekereke yekutanga muna AD 170 zvaive zvajairika kuti Bhishopu avepo semusoro wekereke muguta. Puresibheterio raive boka repasi pemabhishopu pahutungamiriri. Vakuru pakereke vaive varasikirwa nekukosha kwavo.
Zvinzvimbo nenyembe zvaive zvatora hutungamiriri hwekereke.
Kereke yakatanga kuzviona sebato repasi rese sezvaive hushe hweRoma.
Kereke yakatendera nzvimbo yayo kusimbisa gwara rekukura kwayo.
Yakava bato rezviitiko zvemabasa emagariro evanhu. Bato rinoteerera hutongi hwevanhu, kwete vanhu vakawanda vanoda Jesu, vasina kusunganidzwa nezvimwe zvinhu kunze kwezvinhu zvakaita serubapatidzo, chirayiro, kugezesana tsoka, nekutenda kwavo Mushoko rakanyorwa.
VaRoma vaive vabati vane hunyanzvi, mapato ese emakereke akatenderana nechimisikidzo chaibata zvine simba ichi.
Kereke yakava chiRoma zvakanyanya muhurongwa hwayo nemabatiro zvakafanana nekupa varombo zvekudya.
Zvikamu zvakasiyana mutsika dzakasiyana zvaifanira kuramba zvakadaro. Saka, vanhu vekereke vaidiwa kuti vafambe mumapoka kuti vanochengetedza izvozvo. Vanhu ava nekukasika vaizotonga kereke.
Negore AD 170 nzvimbo imwe neimwe yaitongwa nevanhu vaive nezvinzvimbo zvakasarudzika, musoro wavo waive Bhishopu, bhishopu aimiririra nharaunda. Nharaunda dzese dzaive chikamu cheKereke huru yeCatholic (sekudaidzwa kwaiitwa naIgnatiasi aive wekutanga kushandisa izwi rekuti “Catholic”). Makanzuru emaBhishopu vaidaidzwa vosangana vokurukura nekuzivisa muono wakafanana wenharaunda dzakati kuti.
Zvishoma nezvishoma vaipinda mukanzuru iyi vakatanga kubva paMagwaro.
MaBhishopu vaive misoro yaitonga yenhengo dzakasiyana, zvekuti nzvimbo dzakasiyana dzaisotenda zvakafanana.
Mabhishopu akazova vakuru vemakereke aikura kuita bato rairwisa nyika. Chinangwa chezvematongerwo enyika chakatanga kupinda mukereke.
Kuedza kudzora nekubata dzidziso kana kuipa, kwaizovapo nguva dzose sesora mumunda, kereke yakazivisa kuipa kukuru – tsika dzevaNikoraiti kana hutungamiriri hwevanhu hwakasarudzwa nevanhu.
Nekuziviswa kwechimisikidzo ichi, mafungiro akanaka echiKristu aekuti Bhishopu anofanira kutungamirira kereke, rudzi rwebato rekereke rwakadai rwakateya nheyo dzenhandare yekukanganisa padzidziso kukuru kukakurira kereke. Chiedza chekutanga chemapostora chaive chatanga kudzima.
Vatungamiri vemakereke vakaisa kukosha pakuwana kudiwa nevatungamiri vezvematongerwo enyika. Musanganiswa mukuru wakaipa wekukura kwezvematongerwo enyika nechitendero. Izvi zvaireva kuti kutora divi muhondo dzezvematongerwo enyika apo vatungamiri vekereke vaive vasisakoshese Bhaibheri vakawedzera kukudza zvitendero zvaivapa simba mune zvematongerwo enyika. Vatungamiri vemakereke vakatungamirira vanhu vavo mumakwara ezvematongerwo enyika akavabvisa pakurudziro dzeBhaibheri. Zvematongerwo enyika zviri kunetesa nekukurudzira vanhu zviri nyore kuvenga nekusada vanovapikisa. Izvi zvinogadzira munda weruvengo pakati pemarudzi.
ChiKristu chezvematongerwo enyika chinobereka kudupuka kwemaonero pamusoro pezviitiko zvese nevanhu vese zvekuti zvinoita nyore kungoona zvakaipa chete zvevanhu. Munzvimbo yakadai “Ida muvakidzani wako” chinhu chinokanganwikwa zviri nyore.
Vanikoraiti vanopamba sangano
Vanhu vanotungamirira vakasimudzirwa mukereke vanoda simba pamusoro pevanhu vaida zvakare simba rezvematongerwo enyika.
Tinofanira kutendeukira kurutivi runotevera torega kutendera munhu kutonga kereke.
BHUKU RENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 5 NGUVA YEPEGAMOSI DZIDZISO DZAVANIKORAITI
“Tsika dzavaNikoraiti” zvinoreva kuti ‘kutapa ungano’.
“Tsika dzavaNikoraiti” dzinoparadza zvinhu izvi pachinzvimbo chekutsaura vashumiri kubva kuvanhu dzoita kuti vatungamiri vave vanaishe pachinzvimbo chekuva varanda.
Ikozvino dzidziso iyi yakatanga zviri zvinhu zvaiitika munguva yekereke yekutanga. Zvinoratidzika sekuti dambudziko riri mumazwi maviri: ‘mukuru’ (puresibheteriyo” ‘nevatariri’ mabhishopu.
Kunyange dai Magwaro achiratidza kuti kune vakuru vakawanda mukereke imwe neimwe,
Vamwe vakatanga (Ginatsiyo pakati pavo” kudzidzisa kuti bhishopu aive akakosha kana kuti aive nesimba uye kutonga pamusoro pevakuru.
Ikozvino chokwadi chenhau iyi izwi rekuti ‘mukuru’ rinoratidza kuti munhu wacho ndiyani, kana izwi rekuti ‘Bhishopu’ rinoratidzo basa remunhu mumwechete uyu.
Mukuru munhu. Bhishopu ndiro basa remunhu.
Mukuru rakagara richireva zera rekuberekwa kwemunhu nenguva yaaita ari munaShe. Iye ndiye mukuru, kwete nekuti akasarudzwa, nezvimwe zvakadaro., asi nekuti MUKURU pazera. Abva zera, akadzidza, haasi rema, anovimbika nekuti akasangana nezvakawanda akazvirarama nehumbowo hwekuva muKristu kwenguva refu.
Vakawanda mumazuva ekereke yekutanga vaidaira kune kufurira kwemashamwari nevakapoteredza vaive vanhu vakakosha, kutenderana nevanhu vanotungamirira mumaguta avo nenzvimbo dzavanogara. Nekuti vanhu vaiteerera vanhu vaitungamirira pachinzvimbo chedzidziso dzemaprofita, Mwari akabvisa mapostora ese, kunze kwaJohane, negore AD 70 saka kutevera vanhu vaitungamirira kwakawedzera.
Kana tichita kukanganisa, Mwari vanotipa kukanganisa.
MaJuda vaidawo munhu anotungamira, mambo, Mwari akavapa mambo Sauro, akavaunzira marwadzo akawanda nekuti mambo aive asiri muhurongwa hukuru hwaMwari kumaJuda.
Saka kubva pakutanga, vatungamiri vemakereke vakakurira, vakatungamirira kereke munzira yaizoishaisa chokwadi kusvikira chakanganikwa.
Tsika dzevaNikoraiti dzinobva “panikao” zvinoreva kuti “kutapa” nepakuti “Laos” zvinoreva kuti “sangano”, nemamwe matauriro ungano. Kutapwa kweungano kwakabudirira muRoma zvakanyanya. Kereke yeRoman Catholic yaizokura kuva sangano gurusa pasi rese, richitongwa naPope, anotonga kereke ari mudzvanyiriri mukuru. Nhasi, Pope ndiye ega mudzvanyiriri muEurope yekuMadokero. Asi Roma iri muItaly.
Torai izwi rekuti ITALY morironga patsva munoburitsa izwi rekuti LAITY. Saka, kutapa ungano kwaive kwabudirira kwazvo muRoma, kuti kubereke kereke yeRoman Catholic.
Asi kuvanhu vakazvimiririra vachakunda munhau yekukura kwekuzsviisa mumasangano, nekuramba kwako chokwadi cheBhaibheri kuti vasimudzire vanhu vanotungamirira kuva misoro yemakereke, mubairo wenguva inouya kuParadhiso wekukurira kurambwa nekushaiwa rukudzo kwavakasangana nako panyika.
Dambudziko rine nguva yekutanga nderekuti vakatanga kutenda kuti havafaniri kutevera Bhaibheri zvakazara.
Vakatanga kufunga kuti kuteerera kuda kwevanhu vanovatungamirira, vanoti vari kubatira Mwari, ndizvo zvaidiwa naMwari kuti vaite vachimushumira.
Pfungwa yekuteerera kereke nekutsvaga kuchengetedzeka nekuti munhu inhengo yekereke nekuenda kukereke kakawanda ndiyo iri kukura.
Hapana pakati pezvinhu izvi chaiita sechakaipa kwavari, asi chavaiita kwaive kubvisa meso evanhu paBhaibheri kuti maKristu asataure zvakanyorwa muMagwaro pavanorwira hutungamiri hwekereke yevo .
Apo kereke yanhasi inonyanya kubva paMagwaro, musoro wekereke akatanga kudaidzwa kuti murevhi, vika, mushumiri, kana pasita.
“Pasita ndiye musoro wekereke”, “chegumi ndechapasita”, uye “Pasita wenyu anokubatsirai kuti mukunde”, zvese hazvimo muMagwaro asi tichiri kuzvitevera nhasi. Saka bato risimo muMagwaro raive ratanga raizorasira vanhu kure neBhaibheri zvakanyanya. Pakutanga, zvaiita sezvisina basa. Saka mazano aya ese akapinda mukereke, akavanzwa. Vanhu vaive vakavarairwa zvakanyanya zvekutadza kutsvaga kuti izwi rekuti “pasita” rakaonekwa chete muTestamente Itsva kamwechete, saka harina simba rinobva muBhaibheri rekuva musoro wekereke.
Vakatadza kuziva kuti izwi rekuti “pasita” rakatukwa katanhatu muTestamente Yekare.
Zvitendero zvakafira mapostora, zvaive zvisisakosheswe.
Mapostora akati Jesu aive musoro wekereke uye kereke inofanira kutungamirirwa neboka revakuru panzvimbo.
Vatariri vemweya vaive vasisiri panzvimbo dzavo kuti vaone kuti mazano matsva aya ekuti munhu mumwechete ave musoro wekereke aive asina kunyorwa muBhaibheri.
Kutendeka kwakaneteswa, vanhu vakasimbirira pakuzvifadza nekubudirira munezvemari, sezvavakaita pamutambo waBerishazari pavaifunga kuti vakachengetedzeka. Zvaive nyore kwazvo kuti kereke iite munhu mumwechete anoitungamirira, anovaudza kuti vatenda mune zvipi.
Pauro airwisa hutungamiri hwevanhu uhu kubva pakutanga. Kuneta kwakaberekwa kuri muropa revanhu.
Boka revatendi, kereke, yaisanganirana mumba maKiroe rakanyunyuta kuna Pauro pamusoro pechiKristu chemakwikwi chevamwe vatendi vaizvidaidza kuti kereke yaPauro, kana kereke yaAporo, kana kereke yaKefasi – sekuti kereke ndeyemunhu saka zvaizomupa kukosheswa kana munhu wacho anotungamirira aizokudzwa kudarika vamwe vanhu vose.
Nhasi tichiri nekereke yekwaLuther, Wesley, yekwaWilliam Branham, nekereke yeMharidzo. Makereke anowanzodaidzwa nemazita emapasita awo. Kereke yekwa Tom, kereke yekwaDick, kwaHarry. Kukanganisa kunosuwisa uku kwararama makore 2000. Chirwere chakaoma, chinobatira zviri nyore. Kubatira pavanhu vanotungamirira nguva dzose ndiko kuwira pasi kwekereke.
I VAKORINTE 1:11 Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu.
12 Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu
13 Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabapatidzwa muzita raPauro here?
Pauro akatyiswa kwazvo kuti munhu akabapatidzwa muzita rake. Nhasi uno izvi zviri kukura sezvo vamwe vanhu vachibapatidzwa muzita raWilliam Branham, kana Ishe Branham Kristu. Saka kukanganisa kwenguva yekereke yekutanga kwakatanga nekuziviswa kwehutungamiri hwemunhu mumwechete pakereke, kukanganisa ikoko hakuna kubvira kwabviswa zvakazara. Kwakura.
Pane njodzi huru pakutarisira pasi chinhu chimwechete (munhu mumwechete anosimudzirwa kuiswa pakutungamirira kereke), nekukanganwa zvimwe zvinhu zvakazara (zvinotaura Bhaibheri pamusoro peboka revakuru vanofambisa zvinhu mukereke).
Nekuteerera mazano evanhu kereke yakaratidza kuti haina kuvimbika kuzvokwadi yayo, ikabva pakukoshesa hwaro hwayakatanga nahwo.
Tinoita kukanganisa uku nhasi. Guta reEfeso rakanyangarika sehombekombe apo jecha rerwizi rwaierera ruchipinda munhandare rakazadza nhandare yese, mahombekombe egungwa akaenda kubva kuguta. Saka, pakupedzisira, hutungamiri hwevanhu nemazano avo akazadza ndangariro dzevanhu vekereke yekutanga pavakatanga kubva paBhaibheri rakanyorwa. Kukanganisa kukuru kwekereke yekutanga kwaive kwekuti puresibheteriyo akadaidzwa kuti muprista, akagadzwa kuva musoro wekereke. Kuita uku kwakasimbiswa nabhishopu agadzwawo kuitwa musoro wemakereke paguta rimwe nerimwe nenzvimbo dzakaripoteredza.
Negore AD 400, Bhishopu weRoma aive atora chinzvimbo chaPontiffi, zvakaita kuti Pope ave muprista mukuru wezvakavanzika zveBhabhironi. Chimiro chekereke yeRoman Catholic chakatevedzera zvaiitwa muhushe hweRoma, nabhishopu achitonga guta rega rega nenzvimbo dzakarikomberedza. Bhishopu weguta remudunhu rese, metiroporiteni, aidakara mukodzero dzaaivewo nadzo pamusoro pabhishopu wedunhu.
Maachibhishopu nevakuru vakazovapo pakakura mapato ezvechitendero aya. Pachinzvimbo chekuti kereke itungamirirwe neboka revakuru panzvimbo, yakazvipira kuhutunamiri hwemunhu mumwechete. Rusununguko paMweya rwakapa nzira kuhuwori.
Mametiroporiteni akava maachibhishopu vakatonga mabhishopu edunhu. Makore akapoteredza AD 700 maKadhinari akanyukawo pahutungamiri ari pamusoro pemabhishopu.
Saka, vakavaka kutungamiri hwekereke hune zvidanho zvakawanda zvichibva pahudzvanyiriri hwaPope aive nemasimba makuru pamusoro pebato rakaitwa nevanhu iri. Munguva dzepakati (Middle Ages), Pope akava mutongi ane simba kwazvo muEurope. Asi nguva iyoyo, zvinosuwisa, inosarudzwa kudaidzwa kuti Nguva yeRima. Vatungamiri vemakereke havadaidzwi neBhaibheri kuti vaite zvematongerwo enyika. Testamente Itsva haitauri ichipikisa huwori hwevabati veRoma, kana zvinhu zvakaipa zvavanoita zvakafanana nekurwiswa kwehunhapwa. Testamente Itsva inokoshesa hondo dzemweya dzekurwisa tsika dzechipegani nezvivi.
Satani akaedza kupa Jesu hushe hwenyika ino. Zvinoratidza kuti Satani ndiye mutongi wezvematongerwo enyika. Aida kuti Jesu amupfugamire semusoro wenzvimbo yezvematongerwo enyika. Saka, zvematongerwo enyika ibhizimisi rakasviba rinoparadza kupupura kwevazhinji vanotungamirira vanenge vapinda mune zvematongerwo enyika. Zvivi zvinopupurirwa ruvengo rwunosekererwa hwaro hwodonedzwa. Huwori hukurusa hunobuda murudo rwesimba munezvematongerwo enyika. Tarirai kuti mukuru wekereke yeOrthodox yeRussia ane mamiriyoni emari kutenda kunopihwa kurutsigiro rwake rwaanopa Mutungamiri wenyika Putin pahutsinye hwaakaita pakurwisa Ukraine muna 2022 vanovawo nhengo dzekereke yemaOrthodox eRussia.
Tsvagurudzo dzemakore gumi dzakabva kunyika gumi dzinozivisa kuti kukura kunoita rutsigiro rwehurumende kuchiKristu, ndikowo kukura kunoita kuwira pasi kwemaKristu akazvipira.
Simbi inorodza imwe simbi. Makwikwi akanaka kubhizimisi vanopikisa pavanoita kuti vanhu vaedze zvakanyanya.
Zvimwechete zvinoitika kuchitendero. Kana pakaita hupikisi, zvinoburitsa zvakanaka mauri zvinoita kuti mukoshese chitendero zvakanyanya. Kurwira chitendero chako zvakanyanya. Kurwira chitendero chako paruzhinji rwevanopikisa kunobvisa husimbe nekuvarairwa. Makwikwi anomutsa kusimba mumunhu.
MaKristu anoda kuzviwanira kubva kunyika anovarairwa kubva kuchinangwa chawo apo vanonyura muzvinhu zvaKesari pachinzvimbo chekunyura muzvinhu zvaMwari kuti vachengetedze zvimbo dzavakapihwa naShe. Makereke kana aane chokwadi chekukura kwawo, anoneta. Chitendero chenyika chinotsiva zvipo zvemweya. Kunyudza tsoka muhova dzezvematongerwo enyika dzine tsvina kuparadzwa kunotyisa.
Asi muIran neAfghanstan uko nyika dzinouraya maKristu zviri pachena, kune kukura kunoshamisa kwechiKristu. Kupazura muti kunoita kuti ukure. Zvimwechete zvinoitika mumakereke epasi pevhu ekuChina akapona nekukunda zvisinei nekuuraiwa kukuru kwehurumende yavo yemakomiyunisiti.
Rudo rwemari runokoka madhimoni
Kana vatungamiri vemakereke vangoita simba pamusoro pevanhu, vanenge vakungoda mari. Simba rekutora mari dzenyu.
Budiriro yakawedzerwa inoita seinosunungura vanhu kubva pakufanira kutarisira simba repamusoro soro rekuriritira zvido zvavo zvemazuva ese. Nemamwe mazwi, kune kuyanana kuri pachena pakati pekurudziro nezvenyika.
Budiriro iri nyore kuita mapere anoparadza anodya makaro nekuzvifungira kwavo ivo pachavo kunobva pahunhu hwevanhu.
MUPARIDZI 5:10 Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo.
Jobo anotidzidzisa kuti Mwari, hakuna chatinopihwa naMwari, chakatikoshera kudarika Iye.
Musafe makatuka nzvimbo yaMwari nekutungamidza zvipo zvaMwari pamusoro pake.
JOBO 2:10 Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?
AMOSI 3:6 Ko guta ringawirwa nezvakaipa, JEHOVA asina kuzviita here?
ISAYA 45:7 Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini JEHOVA, anoita zvinhu izvi zvose.
Mwari anoshandisa kuomerwa kutisimbisa hunhu hwedu.
AMOSI 6:1 Vane nhamo vagere zvakanaka paZiyoni,
Pfuma inoita kuti hupenyu hureruke, asi hachisi chinhu chakanaka nguva dzese.
Pauro haana kuisa kukosha paEvhangeri rebudiriro rinotipfumisa panyama.
Pauro akaita muenzaniso unokurudzira kurarama mukurasikirwa nekuomerwa muchinamata Mwari. Pauro akadzidza kushanda nekutambudzika.
II VAKORINTE 11:24 Ndakarobwa navaJuda kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.
25 Katatu ndakarobwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe vusiku bwumwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
26 panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27 pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushaiwa zvokufuka.
Hakuna chinonyadzisa pakuva murombo.
MATEO 5:3 Vakaropafadzwa varombo pamweya nokuti vushe hwokudenga ndohwavo.
Hazvina aturo kupfuma zvakanyanya.
RUKA 18:25 Nokuti kamera ingarerukirwa kupinda pavuri rorunji, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.
RUKA 6:24 Asi munenhamo imi vafumi!
Mupfumi akauya kuna Jesu kuti amupe mazano ekuwana hupenyu husingagumi.
Zano raisatambirika. Akaudzwa kuti ape pfuma yake yese kuvarombo sezvo iriyo yaive chipingaidzo.
Saka Jesu haana kutora pfuma nezvaaive nazvo sezvipo zvikuru.
MARKO 10:21 Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; enda, utengese zvose zvaunazvo upe varombo, uve nefuma kudenga; ugovuya, unditevere.
22 Asi wakasviba moyo neshoko iro, akaenda neshungu nokuti wakanga anefuma zhinji.
23 Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda pavushe hwaMwari!
Vaparidzi veEvhangeri rebudiriro vane zvikonzero zvakawanda zvekurwira makaro vanovimbawo nemaBhaibheri akaturikirwa zvisizvo avanoshandisa. Vanoti Mwari anotaura navo, sekuti vaprofita. Asi Mwari haana kubvira avaudza pamusoro pekuomerwa kwepasi rese kwegore 2008, kana pamusoro pedambudziko reCOVID-19 regore 2020, kana kurwiswa kwakaitwa Ukrain neRussia muna 2022 nemari zhinji dzaizobuda. Havana kugona kuyambira chero munhu pamusoro pematambudziko aizouya. Saka, havana zvipo zvekuprofita.
I TIMOTIO 6:9 Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.
(Kutongwa zvinoreva kuti gehena, musha wemadhimoni)
10 Nokuti kuda mari ndiwo mudzi we zvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.
Mari inoita tsamba yekupinda gehena iri nyore. Vanhu vane hunhu hwemakaro anovaparadza anoita kuti kuda mari kuzarure zviri nyore masuwo emadhimoni.
Kapitarizimu yakaita kuti nyika dzipfume asi humwe hushe hwaikwikwidza hwakabereka hondo mbiri dzepasi rese nekuparara kwehupfumi hwepasi rese.
Hazvisi zvakanaka nguva dzese kuti nyika dzipfume.
Mweya waantikristu unowodza kereke
I JOHANE 4:3 Mweya mumwe nomumwe usingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama, hauzi waMwari; iwo ndowaantikristu, wamakanzwa kuti unovuya' nazvino watova panyika.
Vanaantikristu vazhinji vanobatanidza mweya yavo kuti vaumbe kurasika uye kudzikisirwa kwezvitendero zviri muBhaibheri reKing James. Mweya waantikristu webhiza jena wehunyengeri munezvechitendero kana chichechi chechi, dzvuku simba rezvematongerwo enyika, dema Mari zhinji madhimoni anobatana ese mabhiza aya kuita bhiza rimwechete rakachenuruka remusanganiswa wemasimba ekereke. Rufu ndiro zita remutasvi waantikristu wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 anowodza hwaro hweBhaibheri.
Kodzero dzengochani nekurorana varume nevarume zvakutenderwa mumakereke. Ichi chaive chivi cheSodoma chakaita kuti guta reSodoma riparadzwe nemoto waiwa kubva kudenga.
Kubvisa mimba kwakubvumidzwa nemakereke pasi pekodzero dzevanhu. Kodzero dzevanhu zvinoreva kuti kuita zvakanaka, kwete kuita zvinhu zvakaipa. Kuuraya mwana hakusi kuita zvakanaka. Kodzero dzekuuraya mwana asingagoni kuzvirwira chinhu chakaipa kwazvo sezvo mwana iyeye asina sarudzo dzakewo.
Ngoma hadzina kutaurwa muBhaibheri. Mumhanzi wekurova ngoma wakatora nzvimbo yekunamata. Rudzi rwemadhisiko nemafaro zvinoramba zvichniwedzerwa kuti vanhu vanakidzwe vafare. Kurumbidza nekunamata zvabatanidzwa kana kusanganiswa nemimhanzi yenyika yemangoma.
Nhepfenyuro huru dziri pasi pezvenyika. Bhaibheri rinozvidzwa. VeSainzi vakawodzwa zvekusvika pakuti vezvesainzi vane mbiri vanoti Mwari hakuna. Makore anana 1960, tsananguro dzeBig Bang dzakatorwa sehumbowo hwekusikwa kwenyika. Nhasi vesainzi vanoramba kuti Big Bang yaive mavambo ekusikwa kwezvinhu zvese. Charles Darwin mutsananguro dzake dzeshanduko akaedza kutsanangura mavambo esero “rakareruka” achiti igomba risina magumo risingatsananguriki.
Makore ana1960 Francis Crick, akatanga kuziva zvemoreku reDNA rakamonyoroka, akati mukati memakore gumi vanhu vesainzi vachange vakugona kugadzira enzaimu. Apera makore 60 ikozvimo. Nguva iyoyo, vesainzi vakawana kuti enzaimu rakaoma kunzwisisa kudarika zvavaifunga. Vakatadza kugadzira enzaimu racho.
Vesainzi vakaramba ruzivo rwavo nekuti hakuna mirawo yekusika inozivikanwa musainzi. Kusika zvinoreva kuti kuita kubva pasina. Pasina chinhu, meta, simba, pasina makwantamu kana mirairo yemamiriro ezvinhu panyika, pasina murawo wekudonha kana kukandira chinhu mudenga, pasina nzvimbo. Munofanira kutsanangura kuti pasina chinhu pakaita sei zvinhu zvese izvi pasina rumwe rubatsiro rwabva kunze. Munofanirawo kutsanangura, zvisina wesainzi anozvigona, kuti simba rekufamba kwezvinhu muchadenga kana rekudonha rinogona sei kuti zvinhu zvese zviringane mariri.
Mumakereke, chero hupikisi hunoitwa kuti huzvininipise kukereke. Hakuna chimwe chinhu chakasiyana nezvinotendwa mukati chinotenderwa. Chero munhu anosimuka nemagwaro akasiyana nezviri kuparidzwa anotsikirirwa. Ipapo, chero chataurwa nemutungamiri chinobvumwa pasina kupokana vanhu havakwanisi kuita nhaurirano vachishandisa mavhesi eBhaibheri. Havatorina Magwaro avanotemba kuti vatsigire zvavanotenda. Vanovimba nezvavakabata paitaura vanhu zvavakashandura kuti zvifambirane nemaonero avo.
Nhasi, vaparidzi vemharidzo vanotevera William Branham vanoedza kumhanyisa zviitiko zvenguva inouya kuzviisa muzvakadarika. Asi zviitiko izvi zvichaitika munguva yazvo yakafanira. Chatinogona kuita chete kuedza kuti tisanyengerwa nevaparidzi ava. Kumhanyira mberi kwenguva yaMwari kutambisa nguva.
Makereke makuru anonyanya kukoshesa chivakwa “chekereke” chikuru umo sangano guru rinosangana kuti vatungamirirwe nemunhu mumwechete. Zvakafanira asi zvinoita seriva rinoteya boka rese kuti rirasike. Asi tinoramba kuti kereke yekutanga yaisanganirana mudzimba, musina munhu umwe ainogona kutonga boka guru, nekuti imba imwe neimwe hayaigona kutakura vanhu vazhinji. Imomo vaiverenga nekudzidza Bhaibheri, vachirarama hupenyu hweMagwaro, husina masangano kana mutungamiri anoda kwazvo kutonga. Makereke makuru mazhinji akaparara nekuda kwekumanikidzika nenyadzi nekuedzwa nekuda kwembiri yavo, pfuma uye zvimiro zvavo zvakavaparadza.
Kunyengera hwave hupenyu hwevanhu vanoenda kumakereke. Vanoita hunhu hwemusi weSvondo asi vachiita humwe pakati pevhiki.
Vakadzi, mari, nembiri itiriniti yakaipisisa yekuparadzwa.
Saka vatendi vechokwadi mukereke yekutanga vaifanira kukunda zvakaipa zvevanhu vaisimudzirwa kuiswa pahutungamiri, zvakavengwa naMwari. Nhasi tinofanira kukunda kuipa , sezvavakaita. Asi dambudziko redu rakati omei. Hatisi kungofanira kupikisa zvakaipa chete zvakaitwa nekereke yekutanga, izvo senyoka zvinokwanisa kupinda nekamukana kaduku muMagwaro aive asisateverwi. Tinofanira kukurira zvakaipa zvenguva nhanhatu dzemakereke umo mikana mikuru yekushaiwa kuteerera Bhaibheri yakatendera nyoka huru kupindira.
VAFIRIPI 2:12 Naizvozvo, vadikanwa vangu, sezvamakaterera nguva dzose, ndisati ndiripo, pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;
Tinofanira kutya kuita zvinhu zvakasiyana nezvakaitwa nekereke yemuTestamente Itsva.
Kana makadekara makavarairwa mukereke menyu, mune chamuri kupesana nacho. Chenjerai.
Chimwe chezvido zvehupenyu huno injodzi iri kubikwa mugungwa rakadzama matinotarisana nenyika iri kushanduka nekukasika iri kuuya nehuipi hukurusa.
RUKA 21:34 Chenjerai kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvovupenyu hwuno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.
35 Nokuti richawira vose vagere panyika yose.
36 Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvo zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.
Musungo iriva rakavigwa. Kana Mwari vasina kuzivisa chakaipa kwatiri zvinotipofomadza kuti tione chokwadi cheBhaibheri, tinenge tiri munjodzi huru.
Nekuteerera mazano evanhu akavodzwa kereke inoratidza kuti haina kuvimbika yosiya kuita zvakakosha zvakaitwa pakutangwa kwekereke. Tinoita kukanganisa kwakafanana neuku nhasi. Mwari anotarisira kuti tivimbike kuti tichengetedze Shoko rake. Anorwadziwa kana tikatadza kuvimba naro.