Mateo 5:24-48 Mharidzo paGomo, Chikamu 2
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Zvinodiwa naMwari zvakakura kwazvo kuti tizvigone nesimba redu. Kuedzwa kwakatinakira. Musanyunyuta. Ivai nekutenda.
- Musarwira mari
- Ndangariro dzakaipa zvivi
- Zvinangwa zvedu nemazano edu akachenjera hazvina maturo
- Mitemo mitatu yakareruka asi yakaoma kutevera pabudiriro yemweya
- Vanhu havagoni kuvimbwa navo vachipihwa simba pamusoro pevamwe vanhu
- Mapasita anoda kuonekwa nekumhoreswa nezvinzvimbo zvavo kunzi “Pasita” kana kuti Mufundisi
- Kana wanano iri pamutemo, hamugoni kurambana mopinda mune dzimwe wanano
- Kurasikirwa chikamu chechiKristu dzimwe nguva. Chengetedzai zvitsidzo zvenyu
- Zvamunopa panyika ndizvo zvamunoenda nazvo Kudenga
- Idai vavengi venyu
- Pakugona kwedu, tinoramba tiri “varanda pasina”
- Kudanwa kwedu kukuru kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri
Musarwira mari
MATEO 5:25 Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukasungwa mutorongo.
Musazvipinze munhau dzinosungisa, kunyanya dzemari inenge iri yechikwereti. Batai vanhu nenzira yekuti havazogoni kukupomerai.
Kana ndikaita zvakaipa ndinofanira kubvuma ndotsvaga kugadzirisana neanondipomera nekukasika kuti ndidzokere kuva panzvimbo yakanaka naye kuti asazofamba achiipisa zita rangu. Ndinofanira kuripira zvakaipa zvandakaita kuti zita rangu risasvibiswa kuti chiedza changu chirambe chichipenya. Ndosarudza kurasikirwa nemari ndosara nezita rakanaka.
Kuita zvakaipa nekuedza kuzviramba kana kuzviruramisira zvinogumira muimba yekuedzwa kana kutozogumira mutorongo.
Kutaura uku kutsanangurwa kwakati chenjerei kunoitwa gehena. Kana tikasatendeuka kubva kuzvivi zvedu nekuedza kuzviramba kana kuzviruramisira tinoguma tava mutorongo yegehema.
Shoko raMwari rinotipomera zvivi uye Mweya Mutsvene unotitsiura. Ngatitendeukei nekureurura zvivi zvedu tichiri kugona kufamba munzira yaShe Jesu togamuchira kuregererwa zvivi naye. Musamirire kuti mufe nekuti nguva iyoyo munenge musisakwanisi kufamba munzira dzake. Jesu ndiye nzira yatinofanira kufamba mairi.
JOHANE 14:6 Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapana munhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.
Todzoka kuyambiro yaMateo.
MATEO 5:26 Zvirokwazvo ndinoti kwauri haungatongobudimo usati waripa kamari kokupedzisira.
Garai kure nekupara mhosva. MaKristu haafaniri kubvira aendesana kumatare. Zviri nani kurasikira pachinzvimbo chekusvibisa zita rechiKristu nerudo rwemari.
Kana tikasungwa, tinogona kuripiswa muripo wakazara unotitorera mari yakawanda kudarika yatisina kuripira pakutanga.
Kubva mutorongo yegehena, hakuna munhu anogona kupunyukako. Vanhu vachatambudzika kugehena kusvikira varipira zvivi zvavo zvese kusvika pekupedzisira kwazvo. Hakuna zvivi zvinozonzi zviri nani, zvisinei nekuti zviduku zvakaita sei. Hakuna chinonzi chine chiremera chiduku.
Kana zvese zvaripirwa, mumashure menguva yakareba zvakafanira yekutambudzika, ipapo ndipo munhu iyeye anopiswa otsakatika. Vatadzi vachatarisana nenguva dzakasiyana kugehena zvichienderana nematadziro avaiita.
Ndangariro dzakaipa zvivi
MATEO 5:27 Makanzwa kuti zvakanzi nevakare, usaita vupombwe,
Zvakaipa kuti murume akaroora adanane nemumwe mukadzi.
Zvakaipa kuti mukadzi akaroorwa adanane nemumwe murume.
Chitsiidzo chewanano chinotangira pakuvimbisana. Kana murume nemukadzi vakavimbisana kuroorana, Mwari anotora chitsidzo ichocho sesungano kunyange dai vasati vakukwanisa kugara vese semurume nemukadzi.
MATEO 1:18 Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai, Maria mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene.
Kunyengwa zvinoreva kuti kuvimbiswa. Vaive vakanga vakatsidzirana asi vasingatenderwi kugara vese.
MATEO 1:20 Zvino wakati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa washe akazviratidza kwaari pakurota akati, Josefa mwanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.
Chero vaive vakangovimbisana chete, mutumwa akadaidza Maria kuti mukadzi waJosefa.
Chitsidzo chavo chekuti vaizoroorana chaivasunganidza.
II VAKORINTE 11:2 Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
Bhaibheri rakatsidzirana naKristu anova Shoko.
Tikatenda kune zvinotaurwa nechero pasita wekereke pachinzvimbo chekuterera Shoko tinenge tisingatendeki kuMurume wedu Shoko.
Nenzira iyoyo tinenge tichipomba pamweya.
MATEO 5:28 Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unotarisa mukadzi achimuchiva, watoita vupombwe naye mumoyo make.
Kana mukadzi akapfeka mbatya dzinotora moyo nemeso evarume vese vanenge vamuchiva vatopomba. Asi naiyewo anenge atotadza.
Kana murume aine meso meso achitosvika pakuchiva nekushuvira kurara nemukadzi akapfeka nekuita hunhu hwakanaka iye ega ndiye anenge aine mhosva yehupombwe.
Padanho rakadzama, vanhu vanotarisa dzidziso dzekereke mumoyo yavo vachifuratira Magwaro voda zvitendero zvakaitwa nevanhu zvakaita seTiriniti isimo muMagwaro, Mwari wemtumbi mitatu asina zita, rubapatidzo rwemvura rwekubapatidza muzvinzvimbo zvitatu, neKisimusi isimo muMagwaro musi wa25 Zvita zuva rakasarudzwa nemaPegani, raive zuva rakaberekwa Mwari wavo wezuva. Vanhu vanotsvaga masangano emakereke nezvinzvimbo zvawo zvakaitwa nevanhu nekudekara kurimo kwekuti havapisi kana kutonhora kuti pamwe vanotevera mavhesi eBhaibheri pamwe vomasanganisa nezvenyika, mazano echipegani, nezvematongerwo enyika. Hupombwe pamweya uhu nemirairo yevanhu zvaita kuti kereke ive nepfuma zhinji sezvo vatungamiriri vemakereke vanotungamirira vasikana mapenzi kuenda navo mumakore matatu nehafu enguva yeKutambidzika.
Jesu anotsanangura kuti hatigoni kuvimba nemafungiro edu evanhu kana maitiro edu.
JEREMIA 10:23 Haiwa, JEHOVA, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.
Zvinangwa zvedu nemazano edu akachenjera hazvina maturo
JEREMIA 17:9 moyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?
Hatifi takanzwisisa kuti mafungiro edu vanhu anoipa kusvika pakadii.
Kuita kwedu kunotongwa nekuzvikudza nekuzvifungira isu tega, makaro, nekufunga kuti kuita pfuma nemari zhinji ndiko kunamata.
MATEO 5:29 Kana ziso rako rorudyi richikugumbusa, uribvise urirashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
Kusasiya kuzvidzora ndiko kunodiwa. Tinogona chete kuita izvi kana tikafa kuzvivi zvedu.
Ziso rerudyi rinomiririra zvinangwa zvedu zvakadzama kana maonero.
Jesu anoda kutizadza neMweya wake mutsvene kuti agone kutitungamirira muShoko rake kuti tigone kuita zvaanoda kuti zviitwe.
Tinofanira kutanhaura zvinangwa zvedu zvakadzama nekuti zvakawodzwa nezvido zvenyama.
Jesu akaponesa bofu akatanga kuona vanhu vakaita semiti inofamba.
Nemamwe mazwi, akatanga kuona Mweya wemunhu unoratidza kuti aive chii chaizvo. Aitarisa vanhu neziso rake rerudyi. Aiona neziso remweya, kwete nemaonero enyama. Munhu asina kuponeswa anobva aonekwa pakarepo ari muti wakaoma asina kana mashizha paari.
Tinofanira kubvisa mafungiro edu enyama pamusoro peBhaibheri tomatsiva nekunzwisisa Shoko raMwari rechokwadi rakaziviswa. Mafungiro edu pachedu anotipinza munataisireva.
Tinofanira kuramba zvakazara zvinangwa zvenyama nezvido zvacho zvinotiita kuti tide kutarisa zvakaipa zvenyika.
Tinofanira kuramba kuyevedza kwemapoka emakereke nekusaziva kwavo Bhaibheri.
Kutarisa mukadzi womuchiva nekunzwa kumuda zvakashata, asi kuchiva nekuda zvakaipa zvekereke zvinoyevedza kwakanyanya.
Kuchiva nekuda kuita mari nembiri zvinoratidza huwori mumweya yedu.
20% yesimba rekuona rako riri papfungwa dzako dzichiudza maziso zvekutsvaga kana akuona.
80% yesimba rekuona riri mumaziso ako achiudza pfungwa dzako kuti dzione chii.
Ziso pacharo harikuvadze.
Pfungwa dziri mundangariro dzako dziri kuudza maziso ako kuti atarise zvipi ndidzo dzinokonzeresa kuipa kwese.
Munzvimbo dzenyama, nevanhu, kazhinji iziso rine mano mano rinoita kuti varume vatarisise vakadzi vakashonga zvinoratidzira.
Mwari anoda kuti tibvise ziso rerudyi rinoona zvepabonde kubva muzvinangwa zvedu zvakadzama zvinotipa ndangariro dzinoita kuti tide kutsvaga, uye kuyevedzwa nezvakaipa zvemakereke.
Ndangariro dzakaipa idzi dzinofanira kubviswa mupfungwa dzedu dzotsiviwa nendangariro dzemweya kana kuti dzeMagwaro.
MuKristu akaponeswa ane imbwa mbiri dziri kurwa mupfungwa dzake, imbwa yakanaka nembwa yakaipa.
Imbwa yaanopa chekudya zvakanyanya ndiyo inokurira.
Sekutsvaira kwatinoita tsvina mumba medu, Jesu anodawo kwazvo kubvisa zvakaipa zvese nendangariro dzakaipa mupfungwa dzedu zvinotirasisa.
Ndicho chikonzero nei kudzidza Bhaibheri kwakakosha. Kunozadza ndangariro dzedu nepfungwa dzeMagwaro.
Kana tikatora nguva tichirumbidza nekutenda Mwari nekuda kwekunaka kwake zvinodzura ndangariro dzakaipa dzinoda kutirasisa.
Mitemo mitatu yakareruka asi yakaoma kutevera pabudiriro yemweya
Kune mazano matatu akanakisa ekuita kuti ziso redu rerudyi, ziso rinoona zvakadzama zveBhaibheri, rirambe rakatarira zvakanaka.
Asi izvi zvinogoneka chete kana tikakoka Jesu mumoyo yedu tomupa simba rese rekutonga ndangariro dzedu patinofa kuzvivi zvedu, ndangariro dzedu, nezvido zvedu, kana zvipo zvedu.
I VATESARONIKA 5:16 Farai nguva dzose.
17 Rambai muchinyengetera.
18 Vongai pazvinhu zvose;
Ndangariro dzakaipa dzinonetseka kupinda mupfungwa dzine mufaro dzine kutenda uye dziri pamunamato nguva dzese.
Ziso rerudyi rinomiririra muono wemweya muMagwaro. Ndiro ziso rerudyi ratisingagoni kuumba tega. Mweya Mutsvene wega ndiwo unogona kutiitira izvi kana ukagara matiri.
Hatifaniri kufunga nezvedu. Tinofanira kuparadza ziso redu rerudyi, zvido zvedu zvenyama zvekuzvifungira pachedu nemaonero edu zvinosvibisa hupenyu hwedu. Tinofanira kusiya Mwari kuti atifungire neMweya Mutsvene wake kuti atipe muono wakadzama nekunzwisisa Magwaro zvinogona kutitungamirira.
60-0515 MAMBO AKARAMBWA
Tinobva tawana kuti muvengi anopinda, aifanira kuuya pakati pevanhu vaMwari aizobvisa sizo rerudyi remunhu umwe neumwe. Ndizvo zvinogaroedzwa kuitwa nevavengi, kubvisa maziso ese kana achigona, kuti vanhu vasaone zvavari kuita. Ndizvo zvinoedza kuitwa naSatani nhasi kumuKristu wese: kubvisa muono wake wemweya, kuti atevere chete zvinhu zviripo panguva iyoyo kwete kutevera hutungamiriri hweMweya Mutsvene uchimutungamirira.
Hondo hurusa yakarwiwa iri mundangariro dzevanhu pakati peziso remweya rerudyi rinoda zvakaipa mumufananidzo (kazhinji) wevakadzi, mari nembiri nezvakaipa zvemumakereke.
Satani anoda kubvisa ziso redu remweya rekutenda muMagwaro.
Hakuna muKristu anoti Vhezheni reKing James reBhaibheri regore 1769 ndiro Mukuru uye Chokwadi chisingarasiki. MaKristu anenge ese, nekuda kwekunzwisisa kwavo Magwaro kwakaneta, vanoti mune zvakakanganiswa muBhaibheri.
Zuva rinomiririra Bhaibheri kuti ritipe chiedza chekufamba machiri.
“Zuva kana radzikatirwa” zvinoreva kuti vanhu havachatende zvese zvinobva muBhaibheri.
MATEO 24:29 Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.
“Kutambudzika kwemazuva iwayo” zvinotaura kuuraya kwakaita Hitira maJuda mamiriyoni matanhatu muhorokasiti munguva yeHondo yepasi rese yechipiri. Aya haasiwo makore matatu nehafu ekupedzisira “eKutambudzika kukuru” kunoperera muhondo yeAmagedhoni.
Mumashure mehondo masangano akawedzera mumazano evanhu kusvikira kwaita masangano akasiyana siyana anodarika 45 000 emakereke nekuti umwe nemumwe anoita mazano ake asiri muBhaibheri. Saka chiedza cheBhaibheri chiri kuita chishoma zvishoma nezvishoma apo mazano evanhu ari kuwedzera. Zuva reBhaibheri riri kudzima.
Mwedzi unoratidzira zuva. Kereke inofanira kuratidzira Bhaibheri.
Nekuwana zvakakanganiswa muBhaibheri nekutenda chete mukuturikirwa kwezvakataurwa, vanotenda kumharidzo (nemamwe makereke) havacharatidziri Bhaibheri rakanyorwa. Vanowedzera vese zvimwe kana kubvisa kune zvakanyorwa kana zvichivaitira. Saka, mwedzi (kereke) haicharatidziri Bhaibheri rakanyorwa pahunhu hwavo.
Nyeredzi ndivo vaparidzi. Vakawira pasi kubva pakudanwa kwavo neDenga kwavaifanira kungoparidza zviri muBhaibheri chete. Nhasi vanongoshandisa zvakataurwa nevanhu vogadzira zvitendero zvavo kubva kwazviri.
DANIERI 12:3 Vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
Tinofanira kubva kuzvinhu zvese zvinokuvadza kufamba kwedu naMwari.
Vanhu havagoni kuvimbwa navo vachipihwa simba pamusoro pevamwe vanhu
MATEO 5:30 Kana ruvoko rwako rorudyi ruchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.
Ruoko rwerudyi mucherechedzo wesimba nehutongi.
MATEO 26:64 Jesu akati kwaari ndizvozvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri,kubva zvino muchavona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, achivuya namakore okudenga.
Magwaro anoti kwekupedzisira, Jesu ega ndiye achagona kushandisa simba.
Hakuna mumwe achakwanisa kushandisa simba.
Saka, Jesu anoda kuva matiri, achiratidzira simba rake kupfurikidza isu. Hatigoni kuvimbwa nesu kusvika pakupiwa simba.
Nekuti simba rinowodza vanhu vose, kunze kwaJesu.
Tine simba pamusoro pehupenyu hwedu isu pachedu rekuita zvatinoda. Izvi zvinotibvisa pakuda kwaMwari nekutiwodza.
Saka, tinofanira kufa kuzvivi zvedu tosiya Mwari otonga hupenyu hwedu. Muregei atirongere kuti tive hedu varanda pachinzvimbo chekuva madzishe.
Kubvisa ruvoko rwerudyi mucherechedzo wekuparadza simba rako rekufambisa hupenyu hwako.
Zvakaipa zvinotangira mundangariro dzinozokurudzira maoko kubata zvakaipa.
Simba pamusoro pehupenyu hwedu isu pachedu nesimba pamusoro pevamwe rinotiparadza.
Mwari haavimbi nesu vanhu venyama.
JOBO 15:15 Tarira, haatendi vatsvene vake;
Hatizivi zvakatinakira uye zvakanakira vamwe vatinotsvagira simba rekutonga.
Chinhu chikuru chakanyanya kuipa kuzvikudza munguva “yemaserufi” apo vanhu vanozadzwa nerudo rwekuzvitora mifananidzo.
Tinova nemakaro ekuzviunganidzira pfuma. Tinoda kuva nesimba pamusoro pevamwe sezvo zvichitipa kukudzwa.
Vaparidzi vanotapa nekudzikisira ungano kuti ivo vakudzwe pamusoro pesangano rese.
Mapasita anoda kuonekwa nekumhoreswa nezvinzvimbo zvavo kunzi “Pasita” kana kuti Mufundisi
Mapasita anoda kuonekwa nekurumbidzwa pamitambo vaine zvigaro zvakasarudzika zvakachengeterwa ivo mukereke.
MATEO 23:6 vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge,
MATEO 23:7 nokukwaziswa padare, nokuidzwa Rabi navanhu.
Nhasi zvinenge zvichingonzi, Pasita, Pasita.
Nekuda kwezvikonzero zvatisingazivi, mumakereke chinzvimbo ichi “chaPasita” ndicho chega chinzvimbo chinofanira kubatanidzwa nezita remunhu kana achizvidaidza kuti pasita.
Hamugoni kumudaidza kungoti Timi (kana ririro zita rake), munotofanira kumudaidza kuti pasita Timi.
Asi zita rekuti “Pasita” harina kubvira rataurwa pamwechete nezita remunhu muBhaibheri.
Izwi rekuti “pasita” rakataurwa kamwechete muTesitamente Itsva rikatukwa muchiprofita katanhatu muTesitamente Yekare.
Haisi nhorondo yakanaka ine chinzvimbo ichi.
Rudo rwekusimudzirwa nekutora simba neganyabvu pamusoro peungano (vaNikoraiti) rwakasvibisa hushumiri hwapasita uhu.
Hakuna mvumo inobva muBhaibheri yekuita pasita musoro wekereke.
Hakuna mvumo inobva muBhaibheri yekuita pasita mudzidzisi weBhaibheri.
VAROMA 8:13 Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchivuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama;
Mweya Mutsvene unoda kuuraya rudo rwekuita zvakaipa rwuri mundangariro dzedu. Kunyanya rudo rwatiinarwo rwekuzvisimudzira nerudo rwedu rwekufunga kuti tiri nani kudarika vamwe vanhu.
Zvinhu zvishoma kwazvo zvakaipa kudarika chiKristu chemakwikwi.
Tinoda kutonga vamwe nekuzviitira zvatinoda. Uku kuita kwakaipa kunotyisa.
Simba pamusoro pevamwe vanhu ndipo panorasikira vanhu vazhinji.
Kuda simba kunokonzeresa mweya wehudzvanyiriri kunoita kuti pasita atonge sangano rake.
Mhinduro yacho yakaita kuti kuve nemakereke 45 000 nemagungano akasiyana nekuti pasita umwe nemumwe anodzvanyirira kereke yake pasi pemafungiro ake. Muviri wekereke wakapatsanurwa uyu, uyo mutungamiri umwe nemumwe anosimudzirwa nekuteererwa vakadzinga Jesu kubva mukereke.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodhikia, uti:
20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu,
Jesu haachashandi nekereke iri sangano. Ari kutevera moyo wemunhu mumwe nemumwe mukereke. Ndiko kuipa kunokonzerwa nerudo rwekuita simba rinoitwa nemunhu mumwechete anotonga kereke imwe neimwe.
Jesu naJohani Mubapatidzi havana kubvira vabhabhadzira pavaitaura nevatungamiri vezvitendero zvechiJuda vaive vakonzeresa kuti maJuda arasike. Vakatuka vatungamiri vezvitendero zvechiJuda kuti vanyengeri. Nguva hadzina kushanduka.
Nguva yekereke yechinomwe kutangira mugore 1906 yakaona rudo rwekuva nesimba rwuchikonzeresa kuipa kukuru.
Lenini akauraya makumi ezviuru mukusimuka kwake kuvanesimba muRussia. Starini akatorawo simba akauraya mamiriyoni evanhu nehutsinye hwake. Hitira nekuda kwake kutonga kwainge dhimoni akaparadza maJuda 6 miriyoni nevamwe vaive vasiri maJuda. Mao Zedong kuChina akauraya vanhu makumi emamiriyoni.
Vesainzi vaida simba pamusoro peatomi, hwaro hwebwe rekuvakira rwenyika. Asi simba iri raiparadza parakagadziriswa bhomba reAtomi. Bhomba rekutanga rakaputika paHiroshima rikamedza chipatara cheShima. Bhomba rechipiri rakaputikira paNagasaki rakauraya maKristu akawandisa muguta reJapani. Isu totozviti takachenjera?
Murudo rwedu rwekuva nesimba, isu vanhu takadzidza zvekudarika hwaro hwehuchenjeri hwedu uye hatichagoni kudzora makaro edu.
Vanhu havana kufanira kutonga vamwe vanhu chikonzero nei nyika yedu ichaparadzwa paAmagedhoni mabhiriyoni evanhu vachaenda kugehena munguva yemakore matatu nehafu enguva yeKutambidzika kukuru.
Kana wanano iri pamutemo, hamugoni kurambana mopinda mune dzimwe wanano
MATEO 5:31 Zvakanzivo aninani unorasha mukadzi wake, ngaamupe rugwaro rokumuramba.
Adamu naEva vaive murume mumwe nemukadzi mumwe. Eva aifanira kubereka mwana ari mhandara ozvara Jesu.
Mhuka dzairarama nebarika, murume umwe nevakadzi vakawanda.
Mhuka yakatukwa ikashanduka kuita nyoka, chipfuwo chepamusoro soro, yakaitisa Eva chivi. Sezvo aive asisiri mhandara, Mwari haana kuzokwanisa kushandisa chibereko chake kuti abereke ari mhandara. Mwari akaita kuda kwekutendera apo Adamu naEva, nevana vavo vaizotevera vakaita Testamente yekare, vakararama nemurawo wemhuka.
MuTesitamente Yekare, kwaitenderwa barika, munhu aizotenderwa kuramba mukadzi wake, iye aizokwanisa kuroorwa zve.
Asi Jesu akabvisa barika kuti adzorere zvinhu pazvaive pakutanga, Adamu naEva. Murume mumwe nemukadzi wake mumwechete.
Zvivi zvakapinda nekuti Eva akabviswa humhandara nechipuka chakazoshandurwa kuitwa nyoka chaive chipuka chikuru chaive pakati pezvipfuyo nevanhu, asi chaive chisiri murume wake.
Jesu akabva aomesa nhau iyi. Mukadzi anofanira kuva mhandara paanoroorwa.
Saka kuroora mukadzi akarambwa achiri nesungano yaakaita nemurume wake waakarambana naye achiri mupenyu hazvitenderwi.
VAROMA 7:2 Nokuti mukadzi, unomurume, wakasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo womurume.
Sungano yewanano inosunganidza kusvikira umwe afa.
MATEO 5:32 Asi ini ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, asi nemhosva yovupombwe, unomuitisa vupombwe. Aninani unowana wakarashwa unoita vupombwe.
Kupomba kuita zvebonde vanhu vasati vawanana.
Mukadzi akapihwa humhandara sezvo Mwari anoda kuti ave ari mhandara paanoroorwa. Kana asisiri, anofanira kureururura nhau iyi kumurume anoda kumuwana asati awanikwa. Kana kuti, anoita chitsidzo chewananano chisina zvachinoreva chisingamusunganidzo nemurume wake. Anenge aine kodzero dzekumuramba oroora zvakare kana akazoziva kuti haasi mhandara.
Asi mukadzi akaroorwa zviri pamutemo akarambana nemurume ororwa zvakare anenge achiita hupombwe.
Kana murume akaroora mukadzi akarambwa anenge aitawo hupombwe.
Kana muchinge mapinda muwanano zviri pamutemo, pasina zvitsidzo zvenhema, hamutenderwe zvachose kurambana mupinda mune dzimwe wanano.
MARKO 10:11 Akati kwavari ani nani unorasha mukadzi wake, akawana mumwe unoita vupombwe kwaari.
12 Vuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumwe, unofeva.
Nei zvakakosha kuti mukadzi ave mhandara?
DEUTERONOMIO 22:23 Kana kuno musikana, achiri mhandara, wakanyengwa nomurume, mumwe murume akamuwana muguta, akavata naye;
24 ipapo munofanira kuvabudisa vose vari vaviri pasuo reguta, mugovataka namabwe, vafe, musikana nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake, uye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
Munhu wekutanga kurara nemukadzi anomudzikisira nekumubvisa humhandara hwaanga akachengeta hupenyu hwake hwese. Izvi zvinomubatsira kugamuchira murume wake semusoro wake.
Asi kana mumwe murume aive akamborara naye asati awanikwa anogona kutadza kubvira agashira murume wake semusoro wake nekuti haana kumupa ruremekedzo rwekumubvisa humhandara. Zvakadaro mukadzi uyu anokwanisa kutadza zvachose kuzvininipisa kumurume wake.
Varume vazhinji vanozoona kuti vakadzi vavanowana vasisiri mhandara vanoda zvakawandisa, vanoita bopoto, uye vanoda kutonga. Haiiti wanano ine mufaro.
Kurasikirwa chikamu chechiKristu dzimwe nguva. Chengetedzai zvitsidzo zvenyu
MATEO 5:33 Makanzwavo kuti zvakanzi kuna vekare, usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.
Kana ukaita chitsidzo chako, unofanira kuchichengetedza.
Kana zvinhu zvikasakufambira zvakanaka, unofanira kuramba wakachengetedza chitsidzo chako. Chero ukakundikana.
Kurasikirwa chikamu chinowanikwa murwendo rwechiKristu. Mubairo wedu wekupedzisira uri Kudenga. Asi izvi hazvirevi kuti hatifi takambokundikana kana kurasikirwa panyika.
Tinofara nekupembera kana tikakurira asi hunhu hwedu hunotongwa patinorasikirwa. Tinozozvitora sei ipapo?
MATEO 5:34 Asi ini ndinoti kwamuri, musatongopika kana nokudenga nokuti ndicho chigaro chovushe chaMwari.
Musapika. Kana mukagara muchitaura chokwadi hazvina musoro kuzopika kuti mataure chokwadi.
Pupurirwai naMwari. Musafe makapika kuti Denga rinoziva kuti muri kutaura chokwadi.
Kutaura kusina maturo nekuti umwe munhu anenge asina nzira yekuziva kuti Denga rinotii nezvechokwadi chenyu.
MATEO 5:35 Kana nenyika nokuti ndicho chitsiko chetsoka dzake, kana neJerusarema nokuti ndiro guta raMambo mukuru.
Musafe makapika muchipa chitsidzo. Zvese zvamunoona zvakakukomberedzai zvakaitwa naMwari. Hakuna chimwe chezvinhu izvi chinogona kuita kuti muchengetedze shoko ramareva kana muchida henyu kuriputsa. Saka kuzvitaura kupedza nguva.
MATEO 5:36 Usapika kana nomusoro wako nokuti haugoni kushandura ruvhudzi rumwe kuti ruve ruchena kana rutema.
Kupika, kuti mutaure chokwadi kutambisa nguva. Varevi venhema havaremekedzi zvavapikira vanotonyepa kana vada havo. Vanhu vakavimbika vanotaura chokwadi nguva dzese. Saka, kupika kuti munhu areve chokwadi hakuna musiyano wakunokonzeresa.
Hatigoni kudzora kana kutonga ruvara rwebvudzi redu. Kana munhu akaisa rumwe ruvara mubvudzi kungori kunyengera.
Havasi zvavanenge vachiratidzika vari.
Kana mukawedzera ruvara pabvudzi renyu munenge muchiratidzira kuti hamuna mufaro nezvamakaitwa naMwari.
I TIMOTIO 6:6 Zvino kunamata Mwari pamwechete nokugutsikana nezvatinazvo ndizvo zvinofumisa kwazvo;
Kana usingagutsikani nemasikirwo amakaitwa naMwari, munenge muchinamata here?
MATEO 5:37 Asi shoko renyu ngarive, hongu, hongu, kwete, kwete; zvinopfuvura izvozvo zvinobva kuno wakaipa,
Tinofanira kuzivikanwa nevanhu semunhu anotuara chokwadi nguva dzese. Saka “hongu” anofanira kuva hongu wechokwadi.
Kana tikati “kwete” ngaave kwete.
MATEO 5:38 Makanzwa kuti zvakanzi, ziso rinotsibwa neziso, zino nezino.
Murairo uyu uripo kuzivisa mutongi wemhosva kuti otonga sei nhau pakati pevanhu vaviri. Asi handiwo maitiro anofanira kuitwa nevanhu muhupenyu hwavo.
MATEO 5:39 Asi ndinoti kwamuri musadzivisa wakaipa. Asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwevo.
Kurohwa padama hakusi kutadzirwa kukuru panyama.
Kupa rimwe dama zvinoreva kuti kutora nzira yepamusoro pazvinhu zviduku.
Tinodzidza kufuratira kuzvidzwa nekudenhwa.
Muhupenyu, kune kuita nekudaira kana chinhu chaitika.
Akakurova (kuita) iwe ukamurovawo (mhinhuro pane zvaitwa) zvinoreva kuti ari kutonga maitiro ako. Uri muranda wezvaari kuita.
Asi mapostora akanyora “Bhuku raMabasa” kwete “Bhuku rekudaira”.
Kana MUKAITA Mwari anogona kukutongai. Kana MUKAPINDURA Satani anokutongai.
Mukudaira kwenyu munonyura kupinda muhwaro hwemuvengi wenyu.
Kukurira pakurwa handiko kwakakosha.
Anokutonga, ndiye akakosha.
MATEO 5:40 Kana munhu achida kukukwirira kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzevo.
Zvakare, nguvo yomukati chinhu chisingadhuri.
Hatifaniri kupinda munhau dzemumatare dzisina maturo. Vapei zvavanoda muvape nezvizhinji kudarika zvavari kuda.
Kutsiva zvakaipa zvavo nezvakanaka kune zvikuru zvakunoita pavanhu kudarika kupokana navo.
Vanonzwa kuti mune zvakati wandei zvakadzama zveMweya mamuri nekuti vanhu havawanzoite sezvamunoita imi.
Zvamunopa panyika ndizvo zvamunoenda nazvo Kudenga
ZVIREVO 25:21 Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe.
22 Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye JEHOVA achakuripira.
Mwari akasika muvengi iyeye kuti akuedze nekukuumba. Kuva munyoro kumuvengi wako kunogona kumuita kuti akufarire pachinzvimbo chekuita hukasha kwauri. Hunyoro hunounganidza marasha ekuzvitongesa mumusoro make, zvomuita kuti afunge zvakare pamusoro pezvaakakuitira.
Chero chawarasikirwa nacho pakuteerera Mwari, chichadzoserwa kwauri neimwe nzira.
Asi kuita zvinodiwa naMwari, pachinzvimbo chekudaira nekuda kwekutadzirwa kwatinenge taitwa, zvinoratidza kuti tiri kusiira Mwari achitonga hupenyu hwedu. Tinozopiwa mubairo wekuteerera kwedu. Kufadza Mwari kwakakosha kudarika kupedzerana nevavengi vedu.
MATEO 5:41 Aninani unokumanikidza kuenda maira imwe uende naye mbiri.
Vanhu havafungi kuti zvinonzwisisika kutevera mirairo inoita seisina kuvanakira.
Kuudzwa kuti tifambe maira kubva munzira mako kunorwadza. Asi waive murairo unorwadza weRoma.
“Kuenda rimwe maira kubva munzira mako” zvinoreva kuti muchaita zvakawanda kudarika zvinodiwa chero zvazvo murairo uyu uchiita seusina kururama kwauri.
Nekuita zvakaraudzira munenge muchingoratidza kuti muri kuterera Simba guru. Vanhu vanoona kuti Mwari ari kutonga muhupenyu hwenyu.
Zvakare, zvinokupai nzvimbo yepamusoro muhupenyu.
Kuzvipira kurasikirwa kunofadza vanhu. Kazhinji, vanhu havaiti hunhu hwakadaro.
Chero maGiriki echipegani aive nezano rakafanana neiri. “Kana pakaita basa rekumanikidzwa muuto anofanira kukutarira achikubatirirai, muregei aite basa rake; musarambe kana kugunun’una”. Jesu akatora mutemo uyu akauita zvakaraudzira.
Kuterera mutemo unoita seunokubatirira nekuzvipira nekuita zvakawanda kudarika zvaitarisirwa.
Kutarisana nekukuvara kwakaoma, nekuda kwekuchengetedza runyararo, kuisa zvido zvako kuna Mwari kuti akuchengete. Mubairo wazvose ndewekuti, maKristu anofanira kuramba kupokana nekurwadzisa vamwe.
Kana munhu akati, “Nyama neropa hazvigoni kudarika nepakadaro, vaitei varangarire kuti, nyama neropa hazvigari nhaka yeushe hwaMwari; vaya vanoita zvakanaka vachava nerugare ruzhinji nekudekara kukuru.
Tinofanira kugara takagadzirira kushandira Mwari chero dai hupenyu husiri kutifambira zvakanaka.
Jesu akaitirwa zvakaipa. Akazvitora zvese pasina kunyunyuta.
VAROMA 12:19 Musatsiva, vadikanwa, asi munzvenge kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.
20 Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.
21 Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
Ivai vanyoro kune avo vanokuvengai. Zvinovashamisa nekutogona kuvaita kuti vashandure mafungiro avo.
MATEO 5:42 Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoda kukwereta kwauri.
Tinofanira kuzvipira kurasikirwa. Ichi chidzidzo chakaoma kwatiri kuti tidzidze sezvo kuri kuita kwevanhu kwekuda kuwana pachinzvimbo chekurasikirwa.
Jesu akaraira mupfumi kuita chinhu chakaoma kwazvo uyo aivimba nepfuma yake.
MATEO 19:21 Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.
Pfuma yatinogona kuenda nayo Kudenga ndeizvo zvatinopa pano panyika chete.
Idai vavengi venyu
MATEO 5:43 Makanzwa kuti zvakanzi, ude wokwako uvenge muvengi wako.
Hatimbofaniri kutora vanhu kuvaita vavengi vedu. Munhu mumwe nemumwe ane basa.
Hitira akaparadza maJuda mamiriyoni matanhatu muHorokasiti yehondo yepasi rese yechipiri.
Kusvika kwazvakaita kumubatanidzwa wenyika dzepasi rese (UN) muna 1947, vakambosiya ruvengo rwavaive narwo nemaJuda vakavasarudzira kuti vapuhwe chidimbu chenzvimbo yeNyika yavo yeChipikira yeIsraeri. Pasina Horokasiti zvingadai zvisina kugoneka. Hitira, nekuda kwekutsamwa kwake, akabatsira maJuda paaiedza kuvaparadza.
Chisimbiso chechishanu kuna Zvakazarurwa chitsauko 6 chinoti maJuda vakaurairwa kutenda kwavo munguva nomwe dzemakereke vachapihwa nguvo chena Kudenga. Saka kuipa kukuru, Horokasiti, yakakurira kuwanira maJuda nzvimbo Kudenga nekudzorera chikamu chekutanga chenyika yeIsraeri kuvaJuda.
Saka, Hitira akasunungura ruvengo rwake pavaJuda asi akavaitira zvakanaka.
Kune Murairo wekuita nekudaira. Hitira akasairira maJuda 6 miriyoni vakafa kuti vapinde denga vakararama akavasairira munyika itsva yeIsraeri. Kudaira kwakaitwa pane izvi kwaireva kuti vaifanira kuenda neimwe nzira.
Nyasha dzaMwari hadzisi dzekungoti akakuponesai. Nyasha dzaMwari kwamuri dzinosanganisira vavengi venyu vese vasingakudei kuti vakusairirei nekukumanikidzai kupinda muHushe hwaMwari nekukuisai pakaoma.
Chidzidzo. Kana vavengi venyu vakakurwadzisai munosangana neMuono waMwari mukuru wavanenge vakubatsirai kuti muwane nzvimbo yenyu muTemberi yaMwari yemweya yaaivaka mukati menguva nomwe dzekereke.
MATEO 5:44 Asi ini ndinoti kwamuri, idai vavengi venyu, ropafadzai vanokutukai. Itirai zvakanaka vanokuvengai. Munyengeterere vanokuitirai zvakaipa vachikutambudzai.
Ndarama inonatswa nekurohwa kusvikira zvakaipa zvese zvabviswa kwairi.
Mwari anosarudza vanhu kuti vakuvengei uye vakupikisei kuti hupikisi hwavo hukuumbei muite zvakanaka.
Kusimba hakuitiki pasina kuedzwa nekupomerwa nekuti hakuna bope pasina muvengi, hakuna kukunda pasina dambudziko.
Kusimba kunobuda pachena chete sechibereko chehondo huru uchirwiswa nemuvengi akasimba.
Kutsunga kunobva pakurwadziswa kwatisingagoni kubvisa kana kunyenyeredza.
Hunhu haupihwi kumunhu. Hunhu hunoumbwa kubva pakukurirwa nekuomerwa.
Kana pasina hondo, hapana kukunda.
Kutenda kunouya chete kana tikatarisana nezviitiko zvatisingagoni kugadzirisa pachedu.
Saka, tinoda muvengi kuti atiite kuti tikure.
Tendai Mwari nekuda kwevavengi venyu.
Vakagona, nekusaziva, kukuitai kuti mubudirire sezvamakaita.
MATEO 5:45 Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.
Mwari anokomborera vese vakanaka nevakaipa.
Vakaipa vanoshandiswa kuumba vakanaka. Tinokura pahunhu nekutambudzwa nezvatinosangana nazvo.
MATEO 5:46 Nokuti kana muchida vanokudai munomubairo weiko?
Zviri nyore kuda vanotida. Hakusi kuedzwa.
MATEO 5:47 Kana muchikwazisa hama dzenyu bedzi, munopfuvura vamwe neiko? Ko navateresi havaiti saizvozvovo here?
Shiri dzerudzi rumwe dzinobhururuka pamwechete.
Tinoshanyira vasingadiwi here, vari vega, vasina anovarangarira, varombo, nevanopokana nemi?
Ndiko kuedzwa chaiko.
MATEO 5:48 Naizvozvo m uve vakakwana saBaba venyu vari kudenga vakakwana.
Jesu ari kuratidzira chinangwa chinoita sechisingagoneke kuti tizive kuita izvi tigone kuzvininipisa.
Kutsvaga kururama kwakakosha, chero dai kuzvizadzisa kusingagoneki.
Vanotenda muna Jesu vanoda Shoko rake rakaziviswa, vovimba naro zvakazara pazvinhu zvese. Nenzira iyoyo tinoisa tariro yese nekutenda muna Jesu akarurama.
Hatigoni kuita zviri nani kudarika kuita kuti Jesu atonge hupenyu hwedu.
Abrahama naNoa vanodaidzwa kuti vakarurama nekuti vaiterera Mwari zvakazara. Vaitenda muzano raMwari rakarurama zvakazara vakazvipira hupenyu hwavo kuzadzisa Kuda kwake kwakarurama.
Kururama kwavo kwaive kuvimba kwavo kwakazara muna Mwari nekutenderana kwavo kwakazara nezano raMwari.
Havana kubvira vapokana naMwari. Havana kubvira vanyunyuta pamusoro pezvaakavaudza kuti vaite.
Kururama kwavo kwaive kusiri mavari.
Vanhu vanoita zvakarurama munzvimbo yebasa vari paviri. Vanokoshesa kuita zvinhu zvemhando yepamusoro soro kana kuti vanhu vasingadi kukanganisa. Nzira mbiri idzi dzese dzinoita kuti kuzvikudza kuwedzerwe mumunhu, Chivi chaSatani chekutanga. Izvi zvinozarura mukova wechiKristu chemakwikwi.
“Tarirai kuti ini ndiri kugona nekubudirira sei semuKristu”.
“Tarirai zvandakaitira Mwari”.
“Kereke yangu iri nani pane kereke yenyu”.
Kururama kwerudzi urwu handiko kuri kutsvagwa naMwari.
Kukoshesa kururama kwako semunhu mumwechete kunoita kuti munhu anyure mubasa opedzisira aita pfungwa nendangarirro nekutadza kugutsikana kuti zvaaita zvakwana uye kugara akaneta.
Izvi ichokwadiwo kune “vanoedza kudzivirira kukundikana” vanhu vanotsvaga kuita zvakanakisa kazhinji havashandiki navo. Nekuisa simba ravo rese panzvimbo imwechete, vanowanzofuratira zvimwe pakufambisa basa ravo.
Pakugona kwedu, tinoramba tiri “varanda pasina”
Chinhu chatisingagoni kunzvenga zvisinei nekuedza kwedu tinoramba tiri varanda pasina.
Hatifi takabvuma kuti tinotadza zvakawanda kudarika zvatinogona.
RUKA 17:10 Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.
Saka, Mwari haana kubvira atarisira zvakanaka zvakawanda kubva kwatiri.
Saka chinonyanya kushungurudza Mwari nekuda kwechiKristu chanhasi chii?
RUKA 18:8 Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?
Kutadza kwedu kutevera Magwaro zvakazara.
Hatidi chokwadi cheMagwaro zvakadzama sezvatinofanira kuita.
Kururama kwatinoziva ndiJesu iye pachake neBhaibheri reKing James Vhezheni rinozivisa ndangariro dzake. Hamugoni kuparadzanisa munhu nendangariro dzake. Jesu ndiye Shoko raMwari.
Kana mukazvidza Bhaibheri munenge muchizvidza Jesu.
Saka, kuedza kwedu kwekutanga kuva vakarurama kujekesa kuti hatifi takazvidza Bhaibheri.
Kuti tinotenda zvese zvakanyorwa tichiramba mazano ese asina kunyorwa muMagwaro.
Nenzira iyi mafungiro edu emweya anorurama nekuti tinotenda chete nekuteedzera zvinotaurwa neBhaibheri.
Tinobva takurira dambudziko rehupenyu hwedu husina kufanira.
Nzira yaPauro yekugadzirisa zvinhu yaive nyore.
Ifai pakuda kwenyama dzenyu kuti mupinde muMuviri waKristu.
I VAKORINTE 15:31 kuti ndinofa zuva rimwe nerimwe.
Hamugoni kuva mumuviri waMwari kana muine dzenyu ndangariro nekuti ndangariro dzaMwari dzakakurisa kuti tidzinzwisise.
VAROMA 8:1 Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kunavari munaKristu Jesu vasingafambi nenyama asi nomweya.
Kana mukafa kuzvido zvenyu hupenyu hwenyu hunobva kwamuri.
Ipapo ndipo panoita mukana wekuti Mweya waMwari upinde mamuri.
VAROMA 8:2 Nokuti murairo woMweya wovupenyu munaKristu Jesu wakandisunungura pamurairo wezvivi noworufu.
Tinogona chete kutongwa neMweya waMwari weHupenyu kana tiri MUNA Kristu.
Mwari ega ndiye anotonga zvakazara hupenyu hwedu kana tikafa kuzviitiko zvedu zvatinoda uye kuzvipingaidzo zvenyama nenyika yakatikomberedza.
Pane kuneta kune hunhu hwevanhu humwechete husingadiwi naMwari.
Kunyunyuta nekuda kwezviitiko zvinotiwira nekuzvidza Kuda kwaMwari Kukuru tichiti hakuiti kutevera.
NUMERI 14:36 Zvino varume vakanga vatumwa naMosesi vaya kundoshora nyika, vaya vakadzoka vonyunyutisa ungano yose pamusoro pake, zvavakauya namashoko akaipa pamusoro penyika iyo,
Kana Zano raMwari richisanganisira kuomerwa nekuzvipira vanhu vanonyunyuta nekureva reva. Zvakaipa.
NUMERI 14:37 varume avo vakanga vauya neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, vakafa nedenda pamberi paJEHOVA.
Dambudziko rine vanhu ava raive mundangariro dzavo.
Matambudziko aive akakurisa kwavari kuti vamagadzirise nesimba ravo, saka vanonyunyuta zvakanyanya.
Havatovimbi nesimba raMwari rekugona kukurira zvinhu zvakaoma izvi.
Vakafunga nesimba ravo ivo pachinzvimbo chekuisa ndangariro dzavo pavimbiso yeShoko raMwari. Havana kudzidza kufunga saMwari kana kuvimba naMwari.
Kururama zvinoreva kuda kufunga kwaMwari nekuda kuzadzisa Magwaro ake, zvisinei nekuti zvinokutorera chii.
Kuda Shoko raMwari pachinzvimbo chekunyunyuta pamusoro pematambudziko chinhu chakakosha chekururama.
Tinogona chete kururama mundangariro dzeku kana tikasanyunyuta.
Bhuku ravatongi rinotuka vanonyunyuta.
JUDASI 1:16 Ivo van’un’uni navasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo;
VAFIRIPO 2:12 ... pedzisai kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera;
Izvi zvinoreva kuti kuponeswa kubva kumakore matatu nehafu enguva yeKutambidzika kukuru kuri kuuya.
Munhu mumwe nemumwe anofanira kutya Shoko raMwari kudarika kurambwa nekereke.
Kudedera kunotaura pamusoro pechakaipa. Kune mubairo unoripirwa, muchinjiko wekutakura.
MABASA 14:22 Vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivaraira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, tinofanira kupinda vushe bwaMwari namadambudziko mazhinji.
Kutambudzika kukuru.
VAROMA 12:12 farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;
Miedzo yepanyika nekutambudzikoa kunotidzidzisa kuvimba naMwari. Tinomirira iye kuti tisunungurwe.
VAFIRIPO 2:13 nokuti ndiMwari unobata mukati menyu, kuti mude vuye muite kuda kwake kwakanaka
Kana tiri muna Kristu anenge achititonga zvakazara.
Saka, ari kutitungamirira mukati mezvese zvinotiwira.
VAFIRIPO 2:14 Itai zvose musinganyunyuti, musinenharo;
Mwari akagadzira zviitiko nezviwira vanhu.
Mutyairi wechikepe haagoni kunyunyuta nekuda kwemhepo. Anofanira kushandura mabatiro aanoita chikepe chake kuti awirirane nemhepo.
Hatifaniri kunyunyuta kana kudemba pamusoro pezvinotiwira. Zvese zvikamu zvezano raMwari rekutiruramisa.
Marwadzo ndiwo banga rakapinza rinokwenenzvera komichi inotakura mufaro wako.
Kudzama kwemarwadzo ako, ndikowo kudzama kwekusunungurwa kwako naJesu.
Kudanwa kwedu kukuru kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri
Zvakazarurwa Chitsauko 10 chinoona mutumwa Mukuru achiuya panyika kuzomutsa vakafa vakavigwa panyika nemugungwa mukati menguva nomwe dzemakereke.
64-0119 SHAROMI
Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.
Mutumwa mukuru anoburuka chete mumashure mekuziviswa kwezvakavanzika zveMagwaro.
62-1230 ICHI NDICHO CHIRATIDZO CHEKUGUMA HERE BABA
Akaburuka kubva Kudenga, nekuti zvakavanzika zvese zvaive zvapedziswa. Kana zvakavanzika zvese zvapedziswa, Mutumwa akati, “Nguva haizovipo zve,” Kutinhira kunomwe kunobva kwareva manzwi ako.
Ko kana chiri chinhu chekutizivisa kuti topinda sei mukutenda kwekukwira Kudenga mukubwaira kweziso? Ndizvo here? Tichamhanya here, kukwira nepamadziro? Kune chimwe chinhu chiri kugadzirira kuitika here, uye miviri yakachembera, yakaunyana, isisina simba ichashandurwa here?
Chidziro chakapatsanura nzvimbo dzedu dzenyama kubva kunzvimbo dzinoshamisa dzeDenga.
63-0724 MWARI HAADAIDZI VANHU KUNOTONGWA ASINA KUMUYAMBIRA
Hongu, “boka” rerufu harizorina simba pazviri, achamhanya achidarika. Achakwira “nepachidziro” chiri pakati pezvenyama nezvemweya, onopinda mumaoko aMwari, kupinda muHupenyu husingagumi hunoshamisa. Ishe Mwari, tinokutendai nekuda kweizvi. Tinoziva nguva yava pedyo kusvika.
Chekutanga, zvakavanzika zvaMwari zvinofaira kuburuka kuHama Branham kuti tizivise zvakavanzika zveBhaibheri.
Ipapo chete, mumashure mekuziviswa kwezvakavanzika, ndipo panoburuka Mutumwa.
Saka, kune kuuya kuviri.
Kuuya kwezvakavanzika kuMwenga uye mumashure maizvozvo kunouya kuuya kweMutumwa Mukuru.
63-0317 MUSIYANO URI PAKATI PENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE NEZVISIMBISO ZVINOMWE
... zvakavanzika zvinoburuka kubva kuna Mwari zviri Shoko raMwari rozivisa zvakavanzika zvaMwari zvese.
... kana zvakavanzika zvikazarurwa zvakavanzika zvikaziviswa, Mutumwa anobva aburuka, Mutumwa, Kristu, oisa tsoka imwechete panyika imwe mugungwa murarabungu pamusoro pemusoro wake.
Zvino rangarirai, mutumwa wechinomwe uyu anenge ari panyika panguva yekuuya uku.
“Kuuya uku” kuuya kumwechete. Kwete kuuya kuviri.
Kuuya kupi kwacho? Kuuya kwezvakavanzika kana kuuya kweMutumwa?
… pano anodzoka muChitsauko 10 mumashure menguva yekuuya, kuti zvakavanzika zvese zvizadziswe, zvisimbiso zvizarurwe, nekuzivisa kuti nguva haizovipo zve. Akati, “kana mutumwa wechinomwe achinge atanga kutaura, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa nguva yeMutumwa kuti aonekwe.
Mutumwa haagoni kuburuka kunomutsa vakafa zvakavanzika zvisati zvaziviswa. Zvakavanzika zvakaziviswa nekupera kwehushumiri hwehama Branham.
Mwedzi mumwechete asati afa, hama Branham vaive vachiri vakamirira izwi reMutumwa mukuru kuti riburuke rimutse vakafa.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva inoyakadai, ichava nguva yakaita seino apo kuchava nekureva kwekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga nekudanidzira, nenzwi reMutumwa mukuru, hwamanda yaMwari, Vakafa muna Kristu vachamutswa.
Saka, hama Branham vaifanira kuva panyika kuti vagashire zvakavanzika zvaibva kuna Mwari.
Nekudaro, vakakwanisa kuzarura Bhuku nekuzivisa zvakavanzika zvakanyorwa zvaikwanisa kunzwisiswa nemwenga.
Haaifanira kuva panyika pakaburuka mutumwa kuzomutsa vakafa.
ZVAKAZARURWA 10:1 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
2 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
Nhengo dzeMwenga dzinofanira dzese kugona kunzwisisa Shoko rakaziviswa nekuti Mutumwa anodzoka chete kana Bhuku razarurwa kwaari.
ZVAKAZARURWA 10:10 Ipapo ndakatora bhuku duku muruvoko rwomutumwa, ndikaidya; ikanaka mumuromo mangu sovuchi; asi ndakati ndaidya, mudumbu mangu makavaviswa.
Johani zvino anobata basa ari ega.
Anodya kana kudzeya Shoko rakanyorwa achikwanisa kunzwisisa Shoko nekuda kwezaruriro yehama Branham (mutumwa wechinomwe).
Raivava mudumbu nekuti kune vanhu vazhinji vasingadi chokwadi cheBhaibheri vanoramba nekutuka vanoda havo kutevera Magwaro.
Asi paive nekupupura kunodakadza mumuromo make apo Jesu akamudzikinura kubva mukuipa kwese.
Vanhu vakasimbirira kutaura kuti Bhaibheri reKing James Vhezheni regore 1769 rine zvakakanganiswa mariri saka harisi Izwi raMwari, Mukuru.
63-0630 RWENDO RWECHITATU
Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari riri kukudaidzai muzuva rino.
63-1226 HURONGWA HWEKEREKE
Zvinofanira kusvika pamukuru mumwechete, Mukuru wangu ndiro Shoko, Bhaibheri.
65-0429 KUSARUDZWA KWEMWENGWA
Ndinogaroda kuverenga Bhaibheri, nekuti Ishoko raMwari. Ndinotenda izvozvo. Ndinotenda kuti Ishoko raMwari risingatadzi kana kutirasisa.
Kufunga kwedu kunorurama kana tikatenda kuti Bhaibheri ichokwadi chakazara toda kudzidza chokwadi chezvakavanzika zvakadzama.
Kuzorora kwedu kwakarurama ndeapo hupenyu hwedu hunovanzwa muna Kristu kuti titarisane nezviitiko zvehupenyu tisina kunyunyuta.
Tinoziva nekutenda kuti zvese zvinoitika kwatiri zvinoitika kuti zvitiitire zvakanaka. Tinozvipira hupenyu hwedu kuti iye atichengetedze.
Kururama kwedu hakusi mumabasa edu.
Kururama kwedu ndeapo tinovimba zvakazara muShoko rake, Zano rake kuzuva redu nenguva yedu, uyezve kuva nekuvimba kuzere munzira yaanogadzirisa zvinorema zvehupenyu hwedu.
Kutenda kwedu kunoruramiswa chete kana Jesu achinamatwa saIshe Mwari Wamasimba ose.
Kana akasimudzirwa pamusoro pevamwe vanhu vose nemiedzo yese ingavapo muhupenyu.