Mateo 1, Chikamu 1 -Vakarurama vakanyorwa
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Varume vashanu vanoita nheyo dzemaJuda nekereke yevaHedeni. Vakadzi vana vakatsanangura kereke yaizouya.
- Mazita 42 anoyananisa mwana waAbrahama wekubereka Isaka nemwanakomana wake weMweya Jesu
- Vakadzi vana vanozivikanwa vakamiririra kereke muzvisimbiso zvina zvekutanga
- Madzitateguru mana aive nheyo dzemabwe dzerudzi rwemaJuda
- Juda akasarudzwa nekuti rudzi rwake rwakabereka Jesu
Mazita 42 anoyananisa mwana waAbrahama wekubereka Isaka nemwanakomana wake weMweya Jesu
Kune zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro chaMwari chehushe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 4.
Shumba. Mhuru kana dhonza duku. Munhu. Negondo rinobhururuka.
ZVAKAZARURWA 4:2 Pakarepo ndakava muMweya; tarira chigaro chovushe chakagadzwa kudenga, nomumwe agere pachigaro.
ZVAKAZARURWA 4:6 ... napakati pechigaro chovushe, napamativi ose echigaro chovushe, pakanga panezvisikwa zvina zvipenyu, zvizere nameso mberi neshure kwazvo.
7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakafanana neshumba, chisikwa chipenyu chechipiri chakanga chakafanana nemhuru, chisikwa chipenyu chechitatu chakanga chinechiso chakaita sechomunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakanga chakafanana negondo rinobururuka.
Zvisikwa zvipenyu zvina zvinomiririra maBhuku mana eEvhangeri.
Anomiririrawo Zvisimbiso zvina zvekutanga kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.
Mateo anozivisa Jesu ari Shumba yerudzi rwaJuda. Shumba ndiyo mambo wezvisikwa zvesango.
Saka Mateo anozivisa Jesu ari Mambo mukurusa.
Asi ndiMambo anoda kunamatwa muChokwadi cheBhaibheri. Kwete netsika nezvitendero zvakaitwa nevanhu.
Chisimbiso chekutanga kuna Zvakazarurwa 6:1-2 chinobata kusimuka kwemutasvi waantikristu ari pabhiza jena rehunyengeri muzvitendero mukati menguva mbiri dzekutanga dzemakereke apo Roma yaiuraya nekurwadzisa kereke yakaguma muna 312 AD apo mambo Constantine vakamisa kuuraiwa nekurovererwa kwemaKristu.
Chinangwa chikuru chaSatani chaive chekuita kuti tinamate Mwari nenzira dzisimo muMagwaro. Kana tikangopesana neBhaibheri neimwe nzira, Satani anofara. AD 312 ndipo mubati mutsva Constantine akamisa kuuraiwa kwairwadza kwekupedzisira kwakaitwa maKristu nemubati aive adarika Diocletian.
Kubva muna AD 33 kusvika gore rinenge 100 AD yaivewo nguva apo mapositora akatanga Shoko raMwari rechokwadi neTestamente Itsva. Negore 100 AD mupostora Johane aive akurudzirwa kusarudza maBhuku 27 akaita Testamente Itsva.
Shumba, sechisikwa chekutanga chakapoteredza chigaro chehushe, inomiririra Jesu ari zvese Mambo uye ari Chokwadi cheShoko raMwari.
Mateo achatevera rudzi rwehumambo rwaJuda achikoshesa chokwadi cheMweya uyezve vanhu vakazvimiririra vakatadza kutevera Shoko raMwari.
MATEO 1:1 Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbrahamu;
“Mwanakomana wa” zvinoreva kuti akaberekwa murudzi irworwo.
Jesu ndiye Mambo wemadzimambo. Anoda kunamatwa muChokwadi.
Davidi ndiye akaita mambo mukurusa wemaJuda. Saka, akatanga kutaurwa.
Abrahama akaberekwa makore mazhinji anosvika chiuru Davidi asati aberekwa, akasangana naMambo mukurusa wekutanga Merkisedeki, aive Mwari.
Mwari akazvisikira muviri nekufemera muguruva akanosangana naAbrahama.
Mwari akabva asiya muviri iwoyo paakapedza kutaura naAbrahama. Muviri wakadzokera kuita guruva ukasazovapo.
Saka Merkisedeki aive asina baba kana mai. Hupenyu hwake hauna kutanga kana kupera. Mwari akazviisa mumuviri wenyama waakazorasa. Nenzira imwe munhu anopfeka mbatya ozodzibvisa.
Merkisedeki kunyora kwechiHeberu. Merkisedechi kunyora kwechiGiriki. Testamente Itsva yakanyorwa muchiGiriki.
VAHEBERU 7:1 Nokuti Mekizedheki uyo, mambo weSaremi, muPirisita waMwari Wokumusoro-soro, wakasongana naAbhurahamu pakudzoka kwake andovuraya madzimambo, akamuropafadza;
VAHEBERU 7:3 Asinababa, asinamai, asinamadzisekuru, asina kutanga kwamazuva, kana kuguma kwovupenyu, asi wakafananidzwa noMwanakomana waMwari, unogara ari muPirisita nokusingaperi.
Mateo anotipa mutsetse wakareba wemazita evanhu vaive mumurongo weropa rehumambo. Izvi zvakavatora kubva kuna Abrahama kusvika kuna Jesu.
Asi mazita 13 akasiiwa nekuti Evangeri raRuka rine mazita 13 akaraudzira pakati paDavidi naJosefa.
Vanopikisa vanoti uku kukanganisa kuri muBhaibheri.
Kwete hakusi. Asi iyi iyambiro.
13 chiverengo chekumukira. Saka, kubvisa vamwe vanhu muBhuku reHupenyu inzira yaMwari yekuparadza vamukiri.
Zvakazarurwa Chitsauko 13 inoona zvisikwa zvipenyu zviviri zvine huturu (simba) zvakasimuka kumukira Mwari zvinova kereke yeRoma neAmerica. Masimba maviri aya achakonzera nyika yese kuti itore chiratidzo chechikara, 666, kunova kumira kutevera Jesu anova Shoko raMwari, Bhaibheri reKing James Vhezheni. Nhasi maKristu mashoma kwazvo anotenda kuti King James vhezheni ndiro rakarurama uye rine chokwadi chisingarasiki.
Johane 6:66 rine chiverengo 666 zvinotiudza kuti chiratidzo chechikara chii.
JOHANE 6:66 Kubva panguva iyo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye,
Chiratidzo chechikara ndeapo vadzidzi vanotendeuka kubva pakutevera Jesu. Jesu ndiye Shoko raMwari. Shoko rega raMwari rakasimbiswa nhasi ndiro King James Vhezheni.
Chiratidzo chechikara, nhasi, chinotanga kana tikatanga kuwana zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James.
Saka chero chii chamunotaura pamusoro peKing James Bhaibheri, ndizvo zvamunenge muchitaura pamusoro paMwari.
Pamunongosarudza kuti pane chakakanganiswa muBhaibheri reKing James, rinotiudza mifungo yaMwari, munenge muchizvidza Jesu. Nekuti Shoko raMwari rinozivisa ndangariro dzaMwari. Jesu ndiye Shoko raMwari.
Hondo yekutanga pakati pemadzimambo muNyika yeChipikirwa yakatangira pakumukirana.
GENESISI 14:4 Vakanga vava varanda veKedhoriraomeri makore ane gumi namaviri, vakamumukira negore regumi namatatu.
Kumukira kunoyanana nechiverengo 13.
Saka mazera 13 asiko kuna Mateo Chitsauko 1 anoyanana nevanhu vakasarudza kumukira Mwari. Munhu mumwechete, zvinosuwisa, akatanga zvakanaka asi haana kugamuchira zano raMwari rekumagumo kwehupenyu hwake.
Saka Mateo Chitsuko 1 inojekesa kuti Mwari haasekerere vanomukira Shoko rake.
Vanhu vazhinji vanoramba chitsauko chekutanga chaMateo Chitsauko 1 sezvo vachiona semutsetse wemazita wakangoreba usina zvaunoreva kwavari.
Asi chimwe nechimwe chiri muBhaibheri chakakosha.
Vesainzi vanogona chete kuwana basa re5% yeDNA yedu. Vamwe vanotodaidza zvimwe zvikamu zvese zveDNA kuti “marara”.
Asi tsvagurudzo dzakazoramba dzichiitwa dzinoratidza kuti imwe 95 % yaidiwa kuti DNA irambe iri mhenyu kuitira kuti irambe iripo.
Nechikonzero chimwechete, mumauto, munogona kuita vanhu gumi vanodiwa kuti vashande kunezvekufambiswa kwezvinhu, kugadzira zvafa, kuronga nezvimwe zvakaita sehutano zvinoita kuti mauto mamwechete anorwa arambe ari pamberi. Vazhinji vanofunga kuti mauto aya ndiwo anoita zvese zvekuhondo. Hatitonyanyonzwe pamusoro pebasa rakakosha revanhu gumi vanoita kuti ava varambe vainezvakakwana zvavanoda kuti varwe.
Mabasa “anosvota” ekuchengetedza varwi vehondo, anoitwa nevanofambisa zvinhu ndiwo anoita kuti vakurire hondo.
Kana paine zvikamu zveBhaibheri zvinonzi nevanhu hazvina kukosha, zvinoreva kuti havana ndangariro dzaKristu nekuti Jesu akanyora zvikamu izvozvo zvese zveBhaibheri.
I VAKORINTE 2:16 Nokuti ndianiko wakaziva murangariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomurangariro waKristu.
Saka, ngatitarisei mutsetse uyu unosanganisira mazita 42 evarume nevakadzi vana.
Chitsauko chimwe nechimwe muBhaibheri chakakosha kana tiine muonero wakakwana “wegondo wakadzama” kuti tinzwisise zvakanyorwa muBhaibheri nezvatinoedza kudzidziswa nemavhesi acho ese.
Mutsetse wemazita 42 unotiratidza kuti Mwari akashanda sei nemaJuda muTestamente yekare.
42 chiverengo chakakosha.
Nguva yeKutambudzika kukuru yakareba mavhiki 42 Jesu paanotendeukira kumaJuda, mumashure menguva dzemakereke.
Tinoona gwara risina kunyatsojeka.
Mazita 42 anotidzosa nekutizivisa nhorondo yemaJuda kubva kuna Abrahama kusvika kuna Jesu.
MaJuda anobviswa kubva panguva nomwe dzemakereke apo Mwari akatendeukira kumaHedeni.
Nguva yekereke yechinomwe painobviswa, Mwari anotendeukazve anodzikinura maJuda 144,000 mumwedzi 42 yenguva yeKutambudzika kukuru.
Mwari akaita sungano naAbrahama nevana vake.
GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
Sungano iyi yakatanga kushanda apo Isaka, mwana waAbrahama, akaberekwa.
Mwana waAbrahama wekubereka aive Isaka. Mwana waAbrahama wemweya aive Jesu.
Saka mazita 42 aya anosarudzwa kuyananisa kuzvarwa kwemwana wekubereka panyama Isaka, uyo pamusoro pake Mwari akaita sungano yepanyama, kusvika pakufa kweMwana weMweya Jesu Kristu akasimbisa sungano iyi makore 2300 emuBhaibheri mumashure mekuberekwa kwaIsaka.
Izvi zvinobata nhorondo yese yemaJuda.
Sungano yechipiriso yakaitwa naAbrahama yakasimbiswa apo Ropa raJesu rakanatsa nzvimbo tsvene paCalvari.
DANIERI 8:14 Akati kwandiri, `Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.'
Vakadzi vana vanozivikanwa vakamiririra kereke muzvisimbiso zvina zvekutanga
Pakati pemazita 42 evanhu nei pakataurwa vakadzi vana?
Vane mbiri vakanyorwa murudzi rweropa raJesu.
Tamari, Rahabu, Rute, naBathsheba.
Mukadzi mucherechedzo wekereke.
Vakadzi vana ava vakamiririra zvikamu zvina zvakasiyana zvekereke, zvinonzi Zvisimbiso zvina zvekutanga, mukati memakore 2000 enhorondo yayo.
Mwari akatungamirira kereke, inomiririrwa nevakadzi vana ava, mukati meZvisimbiso zvina zvekutanga zvinobata nguva dzemakereke (Zvakazarurwa 6:1-7).
Mavhesi manomwe ekutanga kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 anomiririra nguva nomwe dzemakereke.
Kunobva kwauya Kutambudzika kukuru apo rufu runopindira (Zvakazarurwa 6:8) muchikamu chitsva ichi (8 chikamu chitsva) chenguva yeKutambudzika kukuru kuipa nemhirizhonga, Mwari anodzokera kumaJuda munguva yeKutambudzika kukuru.
Chimwe nechimwe chezvisimbiso zvina chine mavhesi maviri, sezvo chisimbiso chimwe nechimwe chichizivisa kukura kwemweya waaantikristu munguva mbiri dzekereke.
Zvakazarurwa 6:1 Zvino ndakavona Gwaiana richizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, ndikanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi romutinhiro: Vuya uvone.
Chisikwa chipenyu chekutanga chaive Mweya waMwari weshumba, unomiririra Shoko raMwari rechokwadi rakaunzwa kunguva yekereke yekutanga nevapositora.
ZVAKAZARURWA 6:2 Ndikatarira, ndikavona bhiza jena, naiye wakanga akaritasva, wakanga anovuta; akapiwa korona, akabuda achikunda, vuye kuti akunde.
Jena. Chitendero. Vuta asi hapana kutaurwa nezvemuseve. Kuropodza. Hunyengeri muzvitendero. Kusimuka kwekereke yeRoma yakasimudzira munhu nemazano ake kuti atonge kereke. Pakupedzisira, Pope akange akupfeka korona yemitumbi mitatu, achizviti ndiye anotonga kereke.
Bhiza iri nemutasvi waro zvinomiririra kusimuka kwemweya waantikristu uchibva mugungwa remarudzi asina kugadzikika mumarudzi emuEurope.
EKSODO 15:1 Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, "Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa
Uyu waive mweya mumwechete waantikristu wakagara panaFarao aida zvekuuraya nehondo yake.
Mweya wakaipa mumwechete iwoyo, pakanyura Farao, wakaenda mugungwa risina kugadzikika remarudzi rakarondwa naDanieri kubva muBabironi kusvika kuPersia, Girisi neRoma. Uye “nyanga duku” inova nyika dukusa pasi rese. Sikweya kiromita rimwechete pakukura kwayo, nevanhu vanoita 150 vanogara mairi vane pasipoti yemuVatican. Vanhu vanosvika 650 vemuVatican vane mapasipoti edzimwe nyika sezvo vachigara mhiri kwemakungwa.
ZVAKAZARURWA 6:3 Wakati azarura chisimbiso chechipiri, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Vuya uvone.
ZVAKAZARURWA 6:4 Ipapo rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vavurayane; akapiwa munondo mukuru.
Mubati weRoma Constantine akapa simba rezvechitendero kuna Pope paakagadza dzidziso yeTiriniti pakereke.
Chitendero cheCatholic chakabatana nezvematongerwo enyika chaizotonga Europe apo Pope akatapa marudzi evatorwa nedzidziso dzake dzakaitwa nevanhu. Marudzi mamwechete aya aive ambokurira hushe kwenyika yeRoma.
Kereke yeCatholic yakava mushini wekuuraya muNguva dzeRima.
Mweya waMwari wakashanda sedhonza chisikwa chekutambudzika nekuurayiwa. Mamiriyoni emaKristu vakarondwa vakaurayiwa. Bhaibheri rakarambidzwa.
“Rimwe bhiza” asi kwete “umwe” mutasvi. Mutasvi akavanzika umwechete iyeye waantikristu (Diaborosi) ari pamabhiza maviri, hunyengeri hwechitendero nezvematongerwo enyika.
ZVAKAZARURWA 6:5 Wakati azarura chisimbiso chechitatu, ndikanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Vuya uvone. Ndikatarira, ndikavona bhiza dema; wakanga akaritasva wakanga anechiyereso muruvoko rwake.
ZVAKAZARURWA 6:6 Ndikanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina, richiti: Chiyero chezviyo chichatengwa nedenari, nezviyero* zvitatu zvebhari nedenari; usatadzira mafuta newaini.
“Zviyo, baari nemafuta”. Mbeu dzekugadzirisa chingwa.
Bhaibheri ndiro chingwa chedu chemweya. Mafuta ekuzodza chokwadi.
Martin Luther akadzosera kuponeswa nekutenda chete. King James vhezheni reBhaibheri rakaturikirwa, rikaongororwa, rikanatswa pakati pegore 1604 negore 1769. Vadzidzi, vanokurudzirwa nemweya wechisikwa chipenyu munhu, vakaita Magwaro Makuru asingarasiki.
Waini. Kusimudzwa kwezaruriro. Zaruriro yehutsvene hwaJohn Wesley nenguva huru yemamishinari yakatevera.
Mweya waMwari wakazodza dzidzo kuvanhu kuti vaturikire Bhaibheri zvakanaka nekuzivisa chokwadi cheruponeso, hutsvene, nekuparidzira kumarudzi evahedeni.
Asi kereke yeCatholic yairipisa vanhu muchitendero chavo. Kuita mari kubva muShoko raMwari. Kutengesa kuregererwa kwezvivi zveavo vanenge vatadza kwakaitwa. Vanhu vairipiswa kuti vabuditswe mupugatori nzvimbo inochengeterwa mweya yevanenge vafa vakamirira kutongwa. Mari idzi dzakabva pazvese izvi dzakaripira kuvakwa kweChapero yeSistine nekereke yeSt Peters muRoma.
Vemasangano anopikisa vakateverawo mugwara rekuita mari iri kupfurikidza kusungirira vanhu kumakereke avo. Asi chimwe chokwadi cheBhaibheri chakaziviswa kunyangwe hazvo tiriniti isimo muBhaibheri yaireva kuti Mwari wetiriniti haana zita. Hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu nguva imwe.
Asi madhimoni emari zhinji akapinda mumakereke.
Mutasvi mumwechete akavanzika akatasva mabhiza ake etiriniti. Bhiza rinomiririra simba.
ZVAKAZARURWA 6:7 Wakati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya uvone.
Chisikwa chechina chaive gondo nemuonero waro wakapinza.
Kubva gore 1947 kusvika 1965 William Branham kuAmerica akazivisa chakavanzika cheBhaibheri rakanyorwa.
(Zvakataurwa neKutinhira kunomwe, Chisimbiso chechinomwe, nezita idzva raJesu hazvina kuziviswa sezvo zvisina kunyorwa).
Takufanira kuziva mhinduro dzekupindura mavhesi akaoma anofuratirwa nekuraswa nemakereke. Izvi zvinobvisa misoro yenyaya yakafanana neHwamanda nomwe neNdiro nomwe apo zvinotaura nezvenguva yeKutambudzika kukuru uye zvichazivikanwa panguva yemaprofita maviri, Mosesi naErija.
Mwenga haapindi munguva yeKutambudzika kukuru.
Hunyengeri hwechitendero hwakatora nguva mbiri dzemakereke ekutanga, kubva mugore AD 33 kusvika AD 312 kuti husimbe mukereke yeRoma.
Bhiza jena rakaramba ririko munguva refu yairwadza yekereke yechitatu neyechina zvakatora makore 1200 apo Roma yakawana simba rezvematongerwo enyika muEurope. Nguva mbiri idzodzo, kubva muna AD 312 kusvika 1520, dzakatora 60% yenguva dzemakereke. Dzaive nguva dzaidiwa kuti kereke yeRoman Catholic inyatsoyanana nezvematongerwo enyika.
Ndicho chikonzero nei chisikwa chipenyu chechipiri kudenga chiri mhuru. Dhonza duku. Raifanira kutanga riri duku nekuti raizovapo nguva refu yerufu nekuparadza yaraifanira kurarama kusvikira Luther aparadza simba iroro muna 1520 nerumutsiridzo.
Nguva refu dzerima dzakapa Diaborosi nguva yese yaidiwa kuparadza kereke yechokwadi nehunyengeri nehutsinye hwehumhondi. Asi Satani akakundikana apo vanhu vakashinga vakafa vachifira kutenda kwavo vachisiirawo kubata kwekutenda kwavo kune vamwe.
Zvino dzimwe nguva mbiri, kubva muna 1520 kusvika muna 1906, dzaidiwa kuti kereke irasikirwe nekudanwa kwayo kweMweya yopofomadzwa nepfuma nekuzviunganidzira zvinhu zvenyika ino apo chitendero chinotorwa kuve Bhizimisi Guru. Ipapo, hunyengeri hwezvematongerwo enyika nezvechitendero hwakaramba huchipinda mukereke.
Mweya waantikristu webhiza jena rezvehunyengeri muchitendero, dzvuku rezvemasimba ezvematongerwo enyika, nedema rezvemari zhinji madhimoni akaramba akatasva mabhiza kunyange hazvo aive afumurwa negondo (William Branham muprofita wenguva dzekupedzisira) muvhesi 7 rinomiririra nguva yekereke yechinomwe.
“Ndakanza izwi rechisikwa chechina”.
Hama Branham vakatapa mharidzo dzavo pamakaseti nekudzinyora mumabhuku.
Vakabva panzvimbo muna 1965 kubva gore 1966 tiri kurarama munguva “yemazuva ezwi remutumwa wechinomwe”.
Totenda kumharidzo dzake takufanira zvino kugona kuona zviri kutaurwa neBhaibheri.
Kana tichigona kuona zvinoreva Magwaro akanyorwa, tinenge tiri makondo.
ZVAKAZARURWA 6:8 Ndikatarira, ndikavona bhiza rakachenuruka; wakanga akaritasva, zita rake Rufu; huye Hadhesi rakamutevera. Ivo vakapiwa simba pamusoro pechechina chenyika, kuti vavuraye nomunondo, nenzara, norufu, nezvikara zvenyika.
Chechina chenyika chinokwanisa kuita vanhu mabhiriyoni maviri. Ndufu dzakawandisa dzava pedo kusvika kwatiri.
Muvhesi 8, mukati menguva yeKutambudzika, mweya waantikristu webhiza jena, dzvuku nedema inobatana kuita bhiza rakachenuruka kuti ugadzire Satani, uyo ari Rufu anotasva kutasva kwake kwekupedzisira.
Saka tiri kurarama mazuva ari pedyo nenguva yekutambudzika kukuru apo mweya waantikristu, uchitongwa nekuzvikudza kwenguva yeRaodikia inoda mari nekuunganidza pfuma, vari mubishi kubatana nevematongerwo enyika nekuipa kwezvechitendero kuti vagadzire bhiza rimwechete rakaipisisa. Rufu runofamba.
Tinodzidzei kubva pavakadzi vana vakataurwa , vanomiririra kereke muzvikamu zvenguva zvina zvakasiyana izvi?
Umwe aive akaita semhombwe.
Wechipiri ari mhombwe.
Wechitatu aive akarurama, asi asiri muJuda.
Wechina akageza muviri pajekerere akaita hupombwe. Izvi zvinomiririra kereke munguva yekereke yekupedzisira.
Asi vese vaive machembere erudzi rwaMessiasi.
Vose vanotiudza chimwe chinhu pamusoro pekereke.
Vanhu pavanoti vanoponeswa nemabasa akanaka, vari kurasika chimwe chinhu.
ISAYA 64:6 Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguvo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.
ISAYA 64:7 Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.
Mwari weTiriniti haana zita hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.
Ngatitarisei vakadzi vana.
MATEO 1:3 Judhasi akabereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari,
MATEO 1:5 Sarimoni akabereka Bhowasi kumukadzi wake Rahabhi, Bhowasi akabereka Obedi kumukadzi wake Rute,
MATEO 1:6 Jese akabereka mambo Davidi, Dhavhidhi akabereka Soromoni kumukadzi waUria,
Tamari. Nguva yekereke yekutanga neyechipiri.
Akaisa Shoko raMwari pekutanga. Aifanira kuroorwa nemunun’una wemurume wake akafa. Asi Juda aive akanetera kugadzirisa nhau iyi zvekuti akazviisa panjodzi yekushaya muzukuru komana anozokudza dzinza rake. Saka Tamari akazvidzikisira kwazvo kuti awane mwanakomana kubva kuna Juda. Asi zvakanunura dzinza raMessiasi. Akaisa Zano guru raMwari, reRudzi rweHumambo rwaizobereka Messiasi, pekutanga kudarika hupenyu hwake iye. Aive asina basa nekuti iye achanyadziswa zvakadii nekuita semhombwe uye paive nemukana muhombe wekuti aizotakwa nemabwe.
Saka kereke yekutanga yakabuda kuvaHedeni avo, pavakatendeuka, vakadzidziswa kuisa Shoko raMwari pekutanga muhupenyu hwavo. Zvisinei nekuti zvavapinza pakadii. Ndiro raive simba rekereke yekutanga. Kunzvera Magwaro nekuita zvese zvaidiwa kuti Shoko raMwari rizadziswe. Vaiisa Kuda kwaMwari pekutanga muhupenyu hwavo, kunyange dai vamwe mamiriyoni matatu vakaurayiwa nemadzimambo eRoma yechipegani pakati pegore AD 64 negore AD 312. Vaive mbeu dzaifanira kudyarwa kuti kugokohwehwa goho rakaibva pamagumo.
MABASA 17:11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Rakabu. Nguva yekereke yechitatu neyechina. Idzi dzaive Nguva dzeRima apo mhombwe huru, Kereke yeRoman Catholic, yakatonga Europe semukadzi anotonga, Jezeberi.
“Zvehupombwe nekushama” ndiko kwaive kutsanangura kwaiita venhorono zvaive kereke yeRoman Catholic yaitongwa nemhombwe dzaitonga maPope aive nehuwori pakati pegore AD 904 negore AD 963.
Masvingo eJeriko aifanira kuwira pasi kuti Rahabu mhombwe aponeswe. Masvingo ezvemasangano akaitwa nevanhu echiRoman Catholic anofanira kuwa kuti vanhu vabude muhunhapwa hwavaive kuRoma kuti vabude mairi vaponeswe.
Zvaive zvakafanira kuti Rahabu avewo mhombwe kuti amiririre nguva yake yakaipisisa yekurasika nekuwora kwekereke.
Aive netambo tsvuku yaimiririra ropa raJesu sekuti yaive tambo tsvuku yeruchengetedzo inodhonza vatadzi kubva mugomba rakadzika dzika.
Asi tinodzidza chidzidzo chikuru. Zvisinei nekuti munhu akaipa zvakadii, Ropa raJesu rinokwanisa kuvasuka vova vakachena. Kristu akauya kuzoponesa vatadzi. Kwete vakarurama.
ZVAKAZARURWA 1:6 Kuna Iye (Jesu Kristu) anotida akatisunungura pazvivi zvedu neropa rake.
Rahabu akaviga vasori vaviri, mucherechedzo weShoko rakaziviswa reTestamente Itsva neTestamente Yekare yeBhaibheri reKing James Vhezheni, raida kuparadza nevamwe vanhu vose. Rinoziviswa nemabhuku uye makaseti ehama Branham akatapwa nekunyorwa pavaiparidza.
Rahabu akaita chaizvo zvaakaudzwa nevasori ava, nekudaro akaponeswa akabva aita chikamu chedzinza raizoberekwa Jesu.
Kuterera Shoko rakanyorwa muBhaibheri rine zvakavanzika zvakaziviswa nezvakataurwa nehama Branham ndizvo kiyi yekubudirira kwedu.
Rute. Nguva yekereke yechishanu neyechitanhatu.
Rute akaita mbiri yakanaka sezvo akagara mumunda waBoazi, achiunganidza zviyo.
Nguva yekereke yechishanu yakaita mbiri yakanaka kwazvo yekudzorera ruponeso nekutenda uye kuturikira nekunatsa Bhaibheri reKing James Vhezheni pakati pegore 1604 negore 1069. Uku kwaive kuita kwebudiriro kukuru kwazvo.
Kereke yechitanhatu yaive yakasimuka kwazvo apo John Wesley akadzorera hutsvene, hunova nhaka yekuzvininipisa kukuru kwazvo. Rute aizivikanwa nekuzvininipisa kwake. Mamishinari akabva apinda kunoparidzira munyika kunoparidzira nekutendutsa nekuunganidza vaHedeni.
Kutendeuka nekugamuchira Jesu saIshe naMuponesi zvakashandura vatadzi kuvaita vatsvene.
Rute aive nembiri yakanaka kwazvo, asi aive asiri muJuda. Aive muMoabi akashandura zvese zvaaitenda akabvuma kuva muJuda. Muhedeni akava muKristu totenda mamishinari.
Betisheba. Nguva yekereke yechinomwe.
Nguva “yekereke yeRaodikia”, kwete kereke yaMwari.
Nguva ine rima ine kutyisa kwakachenjera.
Raodikia zvinoreva kuti kodzero dzevanhu. Sekodzero dzekugeza wakashama pavanhu. (Bati- sheba). Akabva aita hupombwe namambo Davidi.
Kushama ndiko kutukwa kwekupfeka kwemadzimai nhasi. Nguwo inenge yakadzika pahuro apa ichiburitsa mazamu. Zvirokwe zvipfupi. Zvisina maoko. Mabhechu pamarokwe asina maoko. Zvinonjenjemera. Zvinobata nyama dzese.
61-1119 SIMBA RAKARURAMA RINOITWA NEKUNETA KWAKARURAMA
Oh, maiwe, kutaura nezvekushaiwa muvharo kweketero: madhimoni achitenderera, masimba ewakaipa agere pasi pemazita echiKristu, dzidziso dzedzidziso dzemirairo yevanhu, dzidziso dzetsananguro dzevanhu, kusiya Bhaibheri. Hareruya. Ndiyani anogona.... ndiyani akasimba, ndiyani akachenjera? Ndiyani ane simba zvekugona kubvisa kushama kuri kuitwa nevakadzi vanoparidzira muchitendero, maMethodisti, maBaputisiti, nevepentekositi? Vakazodza zviso zvavo sanaJezeberi, vakagadzira misoro yavo, vakapfeka midhebhe kunge varume, vaparidzi vedu, hakuna vakawanda vanogona kusimuka kuvaudza nezvazvo: vakazadzwa naDiaborosi ... aive madhimoni akabvisa nguwo pana rigioni. Ndiyani Diaborosi ari kudzvova uyu.
Sezvazviri nhasi, varume nevakadzi vachigara vose. Vanhu vanoroorana vari vakadzi kana varume vose. Hupombwe. Kurambana nekurooranazve. Ndiyani ane hanya nazvo?
Munhu wese anoti ane kodzero dzekuita zvaanoda.
Rahabu, Rute, naBetisheba vanokwana muhunhu hwenguva dzemakereke avakamiririra.
Betisheba ndiye mukadzi wechina, mucherechedzo wekereke muchisimbiso chechina.
ZVAKAZARURWA 6:7 Wakati azarura chisimbiso chechina, ndikanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Vuya uvone.
Chisikwa chechina ndiro gondo rinoona zvakapinza.
Vhesi 7 rinomiririra nguva yekereke yechinomwe yemuprofita gondo akatiyambira kuti titevere Magwaro zvakazara asati arambwa nekereke yeRaodhikia.
Betisheba, mucherechedzo wekereke, akaisa kukosha kwese parunako nekushama, zvazvingori mukereke yanhasi. Vakadzi mukereke vari kupfeka mbatya dzinoratidzira nyama dzese. Hembe dzinonjenjemera, dzisina maoko, hembe pfupi, nedzinosiya mazamu panze.
Vakadzi vanofanira kuzviwisira kuvarume vavo asi nhasi vanopfeka midhebhe kuratidzira simba ravanaro.
Varume vavo havachina simba rekuvaita kuti vapfeke zvakanaka.
1965-0801 ZVIITIKO ZVAKAJEKESWA NEZVAKAPROFITWA
Tinotarisa vakomana ava sezvatinoita vasikana, vachipfeka mbatya sedzavanopfeka, tichiona vasikana vachiedza kuita hunhu hwechikomana, tichiona vakadzi nevarume munguva ino yakaipa, vachiona zvebonde zvichisvitswa pachidanho chekunamatwa. Evangeri rasairirwa kurutivi, Kushama kukapinda mukereke yeRaodikia. Oh, Mwari wangu, inguva yakadiiko iyi! Huyai, Ishe Jesu, zvizivisei kwatiri. Tinokumbira izvi muZita raJesu.
Dambudziko guru “rekereke yeRaodhikia” nderekuti vanoita chero zvinoda kuitwa nevanhu. Pamusoro pazvose, inguva yekodzero dzevanhu. Kodzero dzechingochani. Kuroorana varume nevarume kana vakadzi nevakadzi. Kunamata Mwari nemimhanzi yemangoma chero zvazvo ngoma dzisina kubvira dzataurwa muBhaibheri.
65-0711 KUNYADZISWA
… mumasango eAfrica, vavhimi vekumakura. Vaitakura mimhanzi kuti vachinzwa nziyo dzana Elvis Presley, Pat Boone, nevakomana vemangoma nemumhanzi unonzi twisiti. Nevaigarako, vaiedza kuona kuti vafambidzanawo navo here, vozunza misoro yavo vachiita saizvozvo, vaigarako vaimira vovatarisa ...
… tarirai, mweya iyi. Mweya uyu hausingori muvanhu vekuAmerica, wapararira pasi rese, kuti vese vagounzwa kuhondo yeAmagedhoni.
Hunhu hunoshandiswa nekereke yeRaodikia kugadzira zvinhu zvemakereke avo nhasi pavanofamba, zvinoratidza kuti vakawira mukurasika kwekuzvinyengera nekudekara kusina kururama.
Kupupurira kwavanoita kukanganisa kwavanoita vachiita zvisimo mumagwaro zvinova zvakaipa mapenzi anowanda achimhanyira kwazviri.
Hakusisina kutya kana kutsvaga Shoko raMwari rakanyorwa.
Davidi aive mutungamiri wehondo akaipa panguva yake. Izvi zvinoratidza hutungamiri hwakaipa hwekereke yekupedzisira. Mauto aive kuhondo asi mutungamiri wawo Davidi aive agere kumba. Ndangariro dzisina zvadzinoita imba yekushandira yaDiaborosi.
Uku ndiko kutsanangura kunoitwa naMwari kereke yedu yanhasi yeRaodikia.
ZVAKAZARURWA 3:17 Nokuti unoti, ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, kuti ndiwe unovurombo nenhamo, uri murombo nebofu usina chokufuka.
Akaona mukadzi akashama Betisheba. Kuna Zvakazarurwa 3:17 kereke yeRaodikia inotukwa kuti “yakashama.”
Davidi naBetisheba vakaita zvavaida kuita. Ndiyani ane hanya nekuti Magwaro anotii.
Hurongwa hwakaitwa kuti munhu asina mhosva auraiwe. Nhasi vana vanosvika 50 miriyoni vari kuurayiwa gore rega rega vasina mhosva vanobviswa vari mimba. Vanhu vave “mapofu” havachaoni kuipa kwezvivi zvavo. Kuziviswa kuri kuitwa mhosva dzezvepabonde dziri kuparwa nevaparidzi nhasi kwakanyanya zvakadii?
Mwana wekutanga akafa zvakasiya Davidi naBetisheba “munhamo uye mukuchema” zvakangofanana nezvinoitika muRaodikia.
Uyu mucherechedzo werumutsiridzo rwePentekositi mugore 1906 mumugwagwa weAzusa, Los Angeles rwakazotanga kudzima muna 1917 pavakasarudza kuronga masangano akasiyana akapatsanurwa akaitwa nevanhu. Kutenda kuTiriniti kwakaita kuti vakawanda vavo varambe kubapatidzwa muzita raJesu Kristu. Kutadza kugamuchira zaruriro yaiziviswa yechokwadi, makereke panguva iyoyo akaona komiyunizimu ichitanga muRussia pasi pehutongi hwaLenini naSitarini. Zvisina kuzivikanwa nevePentekositi (“usingazivi”) Russia yaisimudzwa kuti iparadze America nekuputitsa mabhomba enyukiriya munguva yeKutambudzika kukuru yemakore matatu nehafu.
Mwanakomana waBetisheba akatevera Soromoni, mambo wechokwadi. Uyu mucherechedzo wenguva yekupedzisira apo vana vanofanira kudzorerwa kumadzibaba ekutanga mapositora, kuti vagadzirire Kuuya kwaShe. William Branhan akazivisa zvakavanzika zveMagwaro kuti vana venguva yekupedzisira vanzwisise Bhaibheri. Makereke akarongwa nevanhu akaramba ari mapofu kuShoko rakaziviswa.
Soromoni aive mambo mukurusa asi vakadzi nemari ndivo vakava kuwira kwake pasi.
Yambiro kukereke yevapfumi asi vasina zivo veRaodikia vanonyengereka vachifunga kuti mari makomborero anobva kuna Mwari.
ZVAKAZARURWA 3:17 ... ndakafuma, ndakafumiswa, handishaiwi chinhu; usingazivi, ...
Murume waBetisheba aive Uria, munhu akarurama.
Mukadzi aimiririra kereke. Uria aimiririra Murairo. Asi Betisheba haana kugona kuunza hupenyu panyika paaive akawanana neMurairo. Saka hupenyu hwaakagamuchidzwa achiri akawanana naUria hwaifanira kufa.
Uria aifanira kuuraiwa munguva yaityisa kwazvo yehondo. Muhondo chaiyo yekurwisa zvivi, Murairo waifanira kufa. Mabasa akanaka haagoni kutiponesa. Nyasha dzega ndidzo dzinogona kutiponesa kana tikatenda mumabasa aKristu chete.
Rufu rwaUria rwakasunungura Betisheba kubva kuwanano yake kwaari. Asunungurwa kubva kumurayiro, akabereka Soromoni aive mwanakomana waDavidi.
Mwenga aifanira kusunungurwa kubva pakusatenda netsika dzekereke mirayiro yakaitwa nevanhu mukereke yeRaodikia, asati aunza Kuuya kweChipiri kweMwanakomana waDavidi, aive Jesu Kristu.
Kwakabva kwaita Tamari aifanira kuenda kunatezvara vake Juda kuti awane hupenyu hutsva.
Kuroorwa nemwanakomana waJuda zvaireva kuti Tamari aive mwanasikana waJuda.
Kereke yekutanga, yakamiririrwa naTamari, yakawana hupenyu husingaperi kubva kuna Mwari Baba kubva Kudenga apo Mweya Mutsvene wakawira pamusoro pavo kubva Kudenga pazuva rePentekositi.
Kereke yekutanga yakagashira Testamente Itsva yaive chokwadi chakafemerwa chakabva kuna Mwari pachake.
Havana kuterera mazano evanhu.
Vakatotsvaga nekunzvera kuti vaone kuti Pauro aiparidza chokwadi here.
MABASA 17:11 Ava (vanhu vekuBerea) vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Kuzvarwa patsva muMweya waMwari kutenda Shoko raMwari chete.
Mweya Mutsvene ndiwo Mwari baba.
Murume anoisa mbeu yehupenyu mudumbu remukadzi ndiye baba vemwana.
MATEO 1:20 ... Nokuti chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene.
Saka Mweya Mutsvene ndiwo Baba vaJesu.
Mwari ndiMweya (Johane 4:24) hupenyu hwake ndihwo kururama. Saka “Mweya Mutsvene” ndiko kutsanangura kwakaringana kwatingaite Mwari.
Juda aive netiriniti yevanakomana vatatu vasina maturo vasina kuunza hupenyu hutsva panyika chero kupfurikidza zvivi, kumukira Mwari kana murairo wekuberekera mukoma akafa mwana, kana kukanganwa nekushaiwa hanya nekusawana
Tamari, semucherechedzo wekereke yekutanga, haana kuwana hupenyu hutsva kubva paTiriniti iyi.
Asi aive nemuono wakadzama.
Vanakomana vaJuda vaviri vaive vakafa wechitatu aive aasingadi kuroora. Rudzi rwaJuda rwehumambo rwaizofa kwaisazova naMessiasi.
Kudzivirira kuitika kweizvi, Tamari aifanira kuita zvakaipa nekunyengera Juda kuti aive chifeve, kuti apihwe mbeu yehupenyu kubva kuna Juda pachake.
Nekuzvipira kuparadza mbiri yake kuiipisa nekuzviisa panjodzi yerufu, Tamari akazvipira kununura rudzi rwa Messiasi.
Akaisa zvido zvemweya zvekuendesa mberi rudzi rwaMessiasi rwaive rwava kuda kugurirwa panzira nekuti zvaive zvakakosha kudarika iye.
Kereke yekutanga, yakazadzwa nehupenyu husingagumi kubva kuna Mwari pachake, zvakaonekwa zvakaipa nehushe hweRoma yechipegani.
Zvese zvakazoipa muhushe zvakapomerwa kumaKristu. Hushe hweRoma yechipegani hwakaona maKristu senyangadzi yaifanira kuurawa zvine hutsinye hukurusa.
Pakaitwa kuuraya kunosvika kugumi kwakarongerwa maKristu uye mumwe munhu wezvenhorondo anoti maKristu anosvika 3 miriyoni vakaurayiwa nehushe hweRoma yemapegani pakati pegore AD 64 negore AD 312. Nero akatanga kuuraya maKristu mugore raAD 64 mumashure memoto mukuru weRoma.
Asi ropa revakafira Shoko rakava manyowa kuChokwadi cheShoko raMwari rakaramba richiparidzwa.
Tamari akakumbira micherechedzo mitatu kubva kuna Juda, baba vake.
Chimhete, rwonzi rwake netsvimbo yake. Tsvimbo inobatsira munhu kumira nekufamba asingawiri pasi.
Kereke yekutanga yakakumbira zvinhu zvitatu kubva kunaMwari Baba.
Zita rake ari munhu, kuti kereke yekutanga ive Mwenga wake. Vakakumbira kodzero dzekuzvipira kuita kuda kwake kwakazara chero zvazvo zvakatungamirira mamiriyoni matatu evanhu ava kurufu rwavo.
Vakakumbira rubatsiro rwakazara rweShoko rake neMweya wake kuti zvido zvavo zvizadziswe kana vazoterera Shoko rake zvakazara.
Chimhete chaive mucherechedzo wemhete yemuchato apo mwenga anotaro zita remurume wake.
Tiriniti haina mhete yemuchato yekupa kereke nekuti iyo Tiriniti haina zita rekudana Mwari wavo wemitumbi mitatu. Zvinzvimbo zvitatu. Vanoti “Muzita raBaba, Mwanakomana, naMweya Mutsvene” asi havazivi kuti zita racho nderekuti kudii.
MaJuda akabapatidzwa muzita raMosesi pavakamutevera, vakazvipira kufa vachipinda muGungwa Dzvuku.
Mosesi izita rakapa maJuda hupenyu rikaparadza vavengi vavo vakasimba, ngoro dzeEgipita.
I VAKORINTE 10:2 Vose vakabapatidzwa muna Mosesi mugore nomugungwa.
Rubapatidzo muzita raJesu rwakapa kereke yekutanga Hupenyu husingagumi sezvo rwaive nhanho yekunogamuchira Mweya Mutsvene, Hupenyu husingagumi.
MABASA 2:38 Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
VaEgipita vakatevera muGungwa dzvuku muzita raFarao, rinova chinzvimbo.
Vakafa.
Rubapatidzo muzvinzvimbo zvitatu harisi zita. Haizi nzira yekusvika nayo kuna Jesu, nekuti ane zita.
Saka kereke yekutanga yenguva mbiri dzekutanga dzemakereke yaive isina Tiriniti.
Dzidziso iyi yakamanikidzirwa kupinda mukereke pakanzuru yeNicaea mugore AD 325.
Chinzvimbo chaBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene chinoshandiswa pakubapatidza chakatungamirira kereke kusvika parufu nemuNguva yeRima.
Mamiriyoni evanhu vakaurayiwa kuti tiriniti igadzwe pakereke.
Nhasi, vanotenda kuTiriniti vanogona kuponeswa kubva kugehena nekutendeuka kwavo, asi vanotevera rufu munguva ichauya nekukasika yeKutambudzika kukuru nekuti vanobapatidza muzvinzvimbo zvitatu.
Vanotenda kuTiriniti vanobvuma kuti tiriniti yakavanzika uye haigoni kunzwisiswa.
Izvi zvakadaro nekuti vakaramba dzidziso dzemuprofita wenguva yekupedzisira William Branham.
Bhaibheri rinoti chakavanzika chaMwari ichi chichapedziswa rimwe zuva kana mutumwa wechinomwe (kana nhume) yachizivisa.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
Chakavanzika chekuti Mwari ndiyani chinogona kunzwisiswa chete kana Tiriniti ikabviswa vanhu vakaziva kuti Jesu Kristu ndiye Ishe Mwari Wamasimbaose.
ZVAKAZARURWA 1:1 Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, ...
8 Ndini Arfa naOmega, wokutanga nowokupedzisira, ndizvo zvinoreva Ishe Mwari, uripo, wakanga aripo, nouchazovapo, wamasimba ose
Kana mukatenda muTiriniti chakavanzika chaMwari hachigoni kupedziswa.
Tamari aida rwonzi rwaJuda mucherechedzo wengetani dzinopfekwa mumaoko emusungwa aida kuva musungwa wababa vake Juda. Aiziva kuti Messiasi aizouya nerudzi rwaJuda.
Kereke yekutanga yaida kuva musungwa kuna Mwari Baba, kwete musungwa weungano kana mutungamiri wekereke anoparidza mifungo yake yenyama.
VAEFESO 3:1 Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vahedheni,
Kuva musungwa waJesu kunokuitai musungwa waMwari Baba nekuti Baba Kuzara kwavo kunogara muna Jesu.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Tinogona chete kubatsira vaHedeni kana tikava vasungwa veShoko rakaziviswa muBhaibheri reKing James Vhezheni.
William Branham akauya kuzozivisa zvakavanzika zveBhaibheri, kwete kuzotsiva zvakanyorwa muBhaibheri nemazano ake.
Saka kereke yekutanga yaive nezaruriro yakajeka yekuti zita raMwari Baba vari munhu raive Jesu Kristu.
Tamari aidawo zvakare tsvimbo yababa vake.
Bhaibheri ndiro tsvimbo inotibatsira nekuti tsigira kuti timire.
MATEO 6:33 Asi tangai kutsvaka vushe hwaMwari nokururama kwake, izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
Kutsvaga kuzvichengetedza panyama dzedu hakuna kukosha. Tinofanira kusiya zvese izvozvo kuna Mwari.
Chinhu chakatikoshera chinofanira kuva kubatsira Hushe hwaMwari hweShoko rakaziviswa kuti riparidzwe.
DEUTERONOMIO 28:2 Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera inzwi raJEHOVA Mwari wako.
Kana makomborero akatitevera zvinoreva kuti anenge abva neshure achitisvikira hatina kubvira tamaona achiuya kana kumatsvaga.
Kereke yekutanga yakasiira zvese kuna Mwari kuti avape zvaaiona zvakakodzera kuti vawane.
Vakabatira Hushe hwaMwari vakasiira zvese kuna Mwari kuti avape maropafadzo ese aaida kuti vawane.
Kereke yekutanga, saTamari, yakatora zvido zvemweya zvemazuva avo vakazvikoshesa kudarika kukosha kwezvido zvavo zvenyama.
Dai vaifanira kufira kupomerwa mhosva dzakaipa, nekuti vaive maKristu, vaitofamba kupinda mundufu dzavo.
Vakasiya zvese kuna Mwari kuti avape zvavaida panyama ivo vachishingaira kubatira Mwari nekuteerera Shoko rake rakanyorwa.
MABASA 2:44 Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose;
45 vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo.
MaKristu enguva yekereke yekutanga aya vaive mberi zvakanyanya pakereke yeRaodikia vanodada zvisina magumo pamusoro pepfuma yavo.
Kereke yekutanga yaingove nechido chimwechete chaive kubatira Baba vavo vari Kudenga. Kwete kuvaka pfuma dzepanyika.
Madzitateguru mana aive nheyo dzemabwe dzerudzi rwemaJuda
MATEO 1:2 Aburahamu akabereka Isaka, Isaka akabereka Jakobo, Jakobo akabereka Juda navanun’una vake,
Nei Mateo akatanga naAbrahama?
Nekuti Abrahama (aizivikanwa achinzi Abramu), aive achigara kuHarani, aive “muHeberu” wekutanga (zvinoreva kuti “akayambukira” rwizi rakafara maira rese rweUfratesi nemombe dzake dzese nehwai kuti anogara munyika yeHarani kuti azogara muNyika yeChipikirwa). Iyi yaive budiriro huru yakaita kuti vanhu veKenani (Nyika yeChipikirwa) vamuzive kana kumurangarira.
Isu semaKristu tinotarisirwa kuyambukira kubva kuhupenyu hwezvivi kupinda muhupenyu kwekururama kana tikagamuchira Jesu saIshe naMuponesi wedu. Vanhu vanofanira kuona musiyano muhunhu hwedu.
Kubva kuna Abrahama kwakauya rudzi rwemaJuda.
Mwari akadana Abrahama, saka maJuda akava vanhu vakasarudzwa naMwari.
Jesu akarovererwa saMambo wemaJuda. Chaive chakanyanya kukosha kumaJuda chaive chekuti Jesu aizoberekwa ari Mambo wavo anouya.
Tarirai chiumbwa chaMosesi ichi. Chine pasi pane mativi mana akaenzana maviri maviri nemakona mana achavakirwa pachiri.
Madzitateguru mana ekutanga (Abrahama, Isaka, Jakobo naJosefa) vanogadzira nheyo dzemambwe emativi mana (zvinoratidzwa muruvara rutsvuku) pamusoro padzo Mwari aizovaka muviri wemaJuda achishandisa maprofita.
Jesu aizouya panyika mukati memakore 2000 aizotevera ova Musoro wemuviri wemaJuda.
Asi maJuda akamuramba. Saka, muviri wemaJuda hauna kugamuchira musoro wawo.
Ndicho chikonzero nei Johane Mubapatidzi akagurwa musoro.
Mutumbi wake wakamiririra vanhu vechiJuda Musoro wakapatsanurwa nemuviri.
MaJuda paakauraya Jesu, izvi ndizvo zvaive zvakaita muviri wavo waive nemakore anodarika 2000 ekutenda.
Mufananidzo usina musoro hauratidziki zvakanaka.
Jesu paakamuka kubva kuvakafa, mucheka wejira raive rakasungwa musoro wake wakawanikwa usiri panguvo dzaive dzakapfekwa pamuviri wake.
Izvi zvaimiririra kuparadzana kwake nemaJuda parufu rwake. Jesu ndiye Musoro wemaJuda. Asi vakamuuraya.
JOHANE 20:6 Zvino Simoni Petro akasvika vo. Akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi;
JOHANE 20:7 Nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune imwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga.
Izvi zvinoratidza kuti Kristu anorarama achadzokerana nemuviri wemaJuda rimwe zuva. Nekuti muviri wake unorarama wakabatanidzwa zve nemusoro wake.
Jesu akaita izvi nekumutsa vatsvene vemaJuda eTestamente Yekare mumashure merumuko rwake. Rimwe zuva achadzokerana nemaJuda 144,000 munguva yeKutambudzika kukuru.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
51 Ipapo tarira chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi. Nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka.
52 Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
53 Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
Mumashure mekurambwa nemaJuda paCalvari, Jesu akatendeukira kuvaHedeni muBhuku raMabasa kuti avake muviri wekereke mukati menguva nomwe dzemakereke dzaizoita makore 2000.
Asi kereke yaidawo nheyo dzemabwe nemakona mana kuti imire.
Mateo, Marko, Ruka, naJohani. MaBhuku mana eEvangeri.
Johane (Gondo) Ruka(Munhu)
Mateo (Shumba) Marko (Mhuru)
Jesu akabva aumba muviri wake wekereke mukati memakore 2 000 akatevera. Vatendi vanhasi vechokwadi vanoita mutsipa wemuviri. Nekukasika Jesu achadzoka kuMusoro wake.
Zvino Mwenga akamutswa achava muviri waJesu wechokwadi, kana vari pasi pekutonga kwemusoro wavo chete, Jesu.
Jesu akazivisa ndangariro dzake nekuraira kwake kwatiri kupfurikidza Shoko rake, Bhaibheri reKing James Vhezheni.
Chero muKristu anoti mune chakakanganiswa muBhaibheri haagoni kuita chikamu cheMwenga.
Mwenga anozviwisira nekuremekedza murume wake, Shoko.
PaKuuya kweChipiri, kereke yevaHedeni ichagamuchira musoro wayo yozadziswa.
Ngatitarisei pabwe renheyo (rakamiririrwa nechimisikidzo tiraiengo tsvuku) rakagadzirirwa muviri wevatendi vechiJuda.
Josefa (Kururama) Jakobo (Nyasha)
Abrahama (Kutenda) Isaka (Rudo)
Abrahama aive nekutenda kukuru kwazvo sezvo aive azvipira kuuraya Isaka, achiziva kuti Mwari vaizomumutsa kubva kuvakafa.
GENESISI 22:5 Abhurahamu akati kumajaya ake, "imwi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.
Abrahama aitoda kuuraya Isaka. Asi aiziva kuti Isaka achadzoswa kwaari. Ndiko kwaive kutenda kwaaive nako kuti Mwari aizomutsa Isaka kubva kuvakafa.
Kutenda murumuko kwakaita Abrahama baba vekutenda
Muvengi wedu atinonyanya kutya rufu. Asi rumuko ruchatisunungura kubva kurufu. Saka rumuko ndirwo mukundi wekupedzisira.
Nekuti Mwari akaita sungano naAbrahama nevana vake. Saka Abrahama aiziva kuti kana mbeu yake (mwana) akafa, Mwari aizomutsa Isaka zvakare.
GENESISI 15:18 Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
Isaka aive mwanakomana waAbrahama wekubereka.
Asi mwana waAbrahama wemweya aive Kristu.
Ndicho chikonzero nei Mateo achidaidza Kristu kuti Mwanakomana waAbrahama.
Jesu ndiye ega anokwanisa kumutsa vakafa.
Isaka naRabeka (mazita echiHeberu) kubva munyaya yakanakisa yerudo. Rabeka achida murume waasina kubvira aona asi aive angonzwa nezvake nemuranda waaivimba naye.
Mwari anotumira nhume, William Branham wekuAmerica, kunguva yekereke yekupedzisira ari mutumwa wechinomwe kuti azivise zvakavanzika zveMagwaro.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaprofita.
Tinogona kunzwa Jesu seShoko raMwari tova nerudo neBhaibheri reKing James roita Chokwadi chedu Chikuru.
Tinodisa kwazvo Bhaibheri zvekuti tinoriona Rakarurama toramba kuwana chero kuipa muBhaibheri reKing James vhezheni.
Rebecca (zita rakanyorwa muchiGiriki) akapa mvura ngamera yakamutakura kuenda naye kuna Isaka. Tinotevera hutungamiri hweMweya Mutsvene Iye oga anogona kutipa zaruriro yezvakaziviswa nehama Branham pamusoro peBhaibheri. Nekutenda chete Magwaro tinotungamirirwa kunosvika paKuuya kweChipiri kwaJesu.
Chero zvamunotaura pamusoro peBhaibheri reKing James vhezheni ndizvo zvamunotaura pamusoro paJesu. Nekuti Jesu ndiye Shoko raMwari.
Zvidzai Bhaibheri reKing James Vhezheni nechero nzira munenge muchizvidza Jesu. Munenge musina rudo Naye.
Jakobo aive munyengeri anotsotsa kusvikira arwa naMwari akatanga kukamhina. Akafamba zvakasiyana nezvaaimboita.
Tinofanira kurwa naMwari kusvikira atipa zaruriro yemavhesi akaoma kunzwisisa ari muBhaibheri. Nekunzwisisa Magwaro akanyorwa chete ndipo patinogona kuona patiri munyika yanhasi togadzirira Kuuya kwaShe.
Dzaive Nyasha dzaMwari dzakashandura mafambiro aJakobo.
Jakobo mucherechedzo waKristu, akashanda makore manomwe (mucherechedzo wenguva nomwe dzemaJuda) achishandira Rea mukunda wechiJuda mukuru. Nemakore manomwe (mucherechedzo wenguva nomwe dzemakereke) achishandira kereke duku yevaHedeni, inomiririrwa naRakeri. Dzaive nyasha dzaMwari kwatiri vaHedeni vasingatendi.
Josefa aive rudzi rwaKristu rwakarurama. Aidiwa nababa vake achivengwa nevakoma vake. Akakandirwa mujere pamwe nemudiri (aidira waini) akaponeswa nemubiki (aibika chingwa), akauraiwa.
Jesu akaita chirayiro (chinodaidzwa kuti chidyo) newaini chingwa chaakagura mucherechedzo wemuviri wake wakagurwa parufu.
Josefa akaponesa Egipita. Jesu akaponesa vatendi.
Munhu wese aifanira kupfugamira Josefa paaipfuura. Ibvi rose rinopfugamira Jesu paachadzoka.
Juda akasarudzwa nekuti rudzi rwake rwakabereka Jesu
Mwari achakusarudzai chete kana hupenyu hwenyu hukaguma hwakukoshesa Kristu, Shoko.
Tinotarisa zvakare pashanduko pakona yechina yenheyo dzebwe apo Josefa akaiswa nemwanakomana wake muduku Efuremu.
Rubeni, semwanakomana waRea wekutanga, akanga ane nhaka, migove miviri.
Asi akarasikirwa nenhaka yehudangwe nekuda kwekushaya hunhu.
I VAKORINTE 7:1 ... Zvakanaka kuti munhu arege kubata mukadzi.
Kana murume nemukadzi vasina kurorana havana kodzero dzekubatana.
Josefa aive dangwe raRakeri akabva awana nhaka yakamupa migove miviri muNyika yeChipikirwa kuitira vanakomana vake vaviri Manase naEfuremu.
Asi Jakobo akatambanudza mavoko ake nhaka yehudangwe ikaenda zvakare kumwanakomana muduku, Efuremu.
Mwari anotanga kushanda nemaJuda asi ruponeso rwakatanga kuyambukira kuvaHedeni paCalvari.
Kuyambukira kweruponeso kubva kumaJuda kuenda kutsoka dzemufananidzo wemuHedeni muBhuku raDanieri.
Saka Efuremu akatsiva Josefa.
Efuremu (nhaka yehudangwe) Jakobo (Nyasha)
Abrahama (Kutenda) Isaka (Rudo)
Asi Efuremu aizoresva zvakaipisisa achiita zvezvifananidzo.
HOSEA 4:17 Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei.
Saka, rudzi rwaEfuremu rwaive rwadzimwa naMwari muBhuku reHupenyu.
Asi Josefa aive rudzi kana mufananidzo waJesu wakarurama.
Saka zvakadaro, kururama kunofanira kupinda mukona yechina iyi yenheyo dzemabwe.
Asi Munhu mumwechete akarurama aizouya ndiJesu, Mambo wemaJuda.
Saka, nzvimbo yaEfuremu yakatorwa naJuda nekuti ndirwo rudzi rwaizobereka Mambo.
MaJuda akakanganisa zvakawanda asi pakupedzisira, vaizobereka Mambo akarurama. Jesu.
Kwete saEfuremu nemamwe madzimambo, Jesu haasi kuzokanganisa. Jesu akarurama.
Juda (Mambo) Jakobo (Nyasha)
Abrahama (Kutenda) Isaka (Rudo)
Nheyo dzemabwe dzeTestamente Yekare dzaive dzateiwa.
Pabwe remabwe iri, Mwari aizotanga kuvaka mufananidzo weTestamente Yekare kana muviri wevatendi vechiJuda, achishandisa vaprofita vechiJuda kuti vatungamirire vaIsraeri.
Vakaprofita pamusoro paMessiasi aive Mambo Aizouya. Ndiye Musoro wevatendi vechiJuda veTestamente Yekare.
Saka Mateo akashingirira kutarisa rudzi rwemadzimambo echiJuda nekuti rudzi urwu, nekukanganisa kwarwo kwese, rwunopedzisira rwabereka Mambo weMaJuda akarurama.