Mateo 08 – Jesu anotendeukira kuvaHedeni
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
MuHedeni anoti “Taurai Shoko rega”. Kutenda kwakadaro. Jesu akatsvaga vanhu vaviri vechiHedeni vaipenga. Madhinomi echiHedeni akamha nyira mugungwa.
- Kuenda kukereke hakutiite vakarurama pamberi paMwari
- Kuponesa vanhu vaviri vane maperembudzi kwakasanganisira chiverengo chechinomwe
- MuHedeni anobereka kutenda kuzhinji kudarika maJuda
- Kutenda kwakanaka kunozorora paKutaura Shoko chete
- Petro aive asiri Pope
- Rwendo rweruponeso rukuru munguva dzemadekwana
- Vanhu vanoungana vari vazhinji havafadzi Jesu
- Kutevera Jesu kunoda kushingaira nekuzvipira
- Jesu anoyambuka gugwa rakatsamwa kunobatsira vaHedeni vaviri vairwara nenjere
- Jesu anotonga nyika negungwa
- Madhimoni evaHedeni ari pamusha mugungwa revanhu vasina kugadzikana
Kuenda kukereke hakutiite vakarurama pamberi paMwari
MATEO 8:1 Jesu akaenda kugomo reMiorivhi.
Jesu “paakaburuka”, aive achiratidzira mucherechedzo wekuti maJuda vaizoramba zvaaive akavatarisira kuti vaite zvaive zvepamusoro soro zvaaive aparidza Pagomo. MaJuda havaizosvika pahwaro hwaaive akatarisira, saka aifanira kuzvideredza kuti asvike pahwaro hwavo hwakaneta. Jesu aive adzika pahwaro hwakadzika kwazvo hwemaJuda vaive vakazvipira kwazvo kuvakuru vemakereke avo, zvekuti vakanga vasingatendi kuMagwaro akanyorwa kuti vagamuchire Messiasi.
Havana kugona kugamuchira Messiasi aipikisa vatungamiri vezvitendero zvavo.
Vaive vachifunga kwazvo kuti vainatsa uye kuti vaingofanirwa kutevera vatungamiri vavo kuti vaende Kudenga.
Vaifunga kuti kuchengetedzeka kwavo kwaive pakuenda kusinagogue musi weMugovera wega wega.
Kukanganisa kwavo kukuru kwaive kutenda kuti vaisada kugadziriswa. Sevanoenda kumakeke nhasi vanofunga kuti kururama pamberi paMwari kuri pakuenda kwavo kumakereke musi weSvondo.
Ndicho chikonzero nei hutachiwana hwekorona COVID 19 hwakakatyamadza vakawanda muna 2020 kusvika 2021. Mwari akapfiga makereke, nzvimbo dzavo dzavanochengetedzeka madziri. Kune masangano emakereke anosvika 45,000 akasiyana siyana nhasi. Vanoenda kumakereke vanotenda mumakereke avo akasiyana siyana kudarika kutenda kwavanoita muBhaibheri. Makereke ese akasiyana asi vese vanofunga kuti vari mugwara chairo. Kuzvinyengera kukuru.
Makereke makuru anotorwa sezviratidzo zvekubudirira. Asi vanhu vakawanda vakamutevera vaive chiitiko chisina kufadza Jesu. Vanhu vazhinji vakatambira Jesu musi weSvondo yeMichindwi ndivo vanhu vamwechete vakadanidzira kuti “Ngaauraiwe” musi weChina chakatevera. Vavengi vanonyepera kuda munhu neshamwari dzenhema vanoita zino irema vanoita chokwadi chekuti chaunga chinoshandurwa mafungiro zviri nyore. Jesu aiziva kuti acharambwa nemaJuda.
JOHANE 2:24 Asi Jesu haana kuzviisa mumavoko avo, nokuti wakanga achivaziva vanhu vose.
25 Wakanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva iye zviri mumunhu.
Jes u aiziva kuti vatendi vazhinji vanorasiswa zviri nyore nevatungamiriri vavo. Vanoramba Shoko raMwari nemufaro kuti vatende zvavanoudzwa nevatungamiriri vavo. Nhasi, vanhu ndevemakereke avo pachinzvimbo chekuva vanhu vaKristu neBhaibheri.
Kumusoro mugomo, Jesu akanga aparidza chokwai chakadzama cheHushe hwaMwari chakasiyana kwazvo nezvinotarisirwa nevanhu. Tinoda maonero nekusimudzwa kwepamusoro soro nekukurudzirwa kusvika kure uye pamusoro pehwaro hwemakaro nekutsvaga zvatinoda sevanhu. Tinofanira kuona kuti Mwaari anofunga zvakasiyana nesu vanhu tinofunga nezvedu chete.
Kuponesa vanhu vaviri vane maperembudzi kwakasanganisira chiverengo chechinomwe
Kuponesa maperembudzi muTestamente Yekare kwaiyananiswa nenguva yekereke yechinomwe.
Jesu anopa maJuda makwara apo anovapa yambiro kuti kusatenda kwavo kuchaMuita kuti aende kuvaHedeni.
MATEO 8:2 Tarira munhu unamaperembudzi akavuya kwaari, akamunamata akati, Ishe kana muchida munogona kundinatsa.
Maperembudzi, chirwere chakaipisisa, mucherechedzo wehurwere hwemweya hwakaipa hwekusatenda. Kutenda kuzvinhu zvisina kunyorwa muBhaibheri.
Zvisinei, munhu aive nemaperembudzi uyu akaziva chinhu chakakosha chekuti Jesu Kristu ndiShe. NdiMwari panyama ane simba guru kwazvo.
Munhu wemaperembudzi, zvisinei nekurambwa nemaJuda, akaziva chinhu chisina kuzivikanwa nemaprista echiJuda pamusoro paJesu.
Izvi zvakapa makwara ekuziva zvaizotevera zvekuti maPegani echiHedeni vairambwa nemaJuda, vaizogamuchira Evangeri rakarambwa nemaJuda. MaJuda vaiona vaHedeni sevaive nemaperembudzi pamweya.
Kaviri chete ndiko kaive kambotaurwa muBhaibheri kuti maperembudzi akaporeswa.
NUMERI 12:1 Zvino Miriami naAroni vakapopotera Mozisi nokuda kwomukadzi aiva muKushi, waakanga awana; nokuti akanga awana mukadzi aiva muKushi.
10 Gore rikabva pamusoro petende rokusangana, onei Miriami ava namaperembudzi, akachena sechando; Aroni akatarira Miriami, onei ava namaperembudzi.
15 Ipapo Miriami akabudiswa kunze kwemisasa mazuva manomwe, vanhu vakasafamba, kusvikira Miriami adzoswazve
Meriami akapikisa Mosesi nekuti aive aroora mukadzi mutema wekuEtiopia aive muHedeni. Uku kwaive kusarura ganda Mwari akamurova nechirwere akachena kudarika kuchena kwake nemaperembudzi. Meriamu akaburitswa kunze kwemisasa kwemazuva manomwe. Akamiririra maJuda vakapikisa zano raMwari vakaramba Messiasi. MaJuda vakabva vapikisa Mwari akatendeukira kukereke yevaHedeni. Ruvara rutema runomedza chiedza zviri nani. VaHedeni vaive vazvipira kumedza Chiedza cheEvangeri.
Nekuda kwaizvozvo, mukati menguva dzemakereke manomwe, maJuda vaizodzingwa mumisasa vorohwa nemaperembudzi ekusatenda. Ruvara ruchena runoramba chiedza zviri nani, mucherechedzo wemaJuda achidzinga chiedza kana kuramba chiedza cheEvangeri. Mumashure memazuva manomwe, kana nguva nomwe dzemakereke dzapera, ndipo maJuda achadzoka kuzano raMwari munguva yeKutambudzika kukuru.
Kuporeswa kwemaperembudzi kwechipiri kwaive apo mambo weSiria akanga atumira Naamani kuIsraeri kunorapwa. Maperembudzi aive chirwere chakaipisisa.
Erisha muprofita akatora izvi semukana wekuratidzira kuti maive nemuprofita muIsraeri.
II MADZIMAMBO 5:14 Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
Naamani, muHedeni, akanyura muRwizi Jorodani kanomwe akaponeswa. Izvi mucherechedzo wevaHedeni mukati menguva nomwe dzemakereke vakanatswa kubva kuzvivi nemvura dzeShoko.
VAEFESO 5:25 Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo;
26 Kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
Kristu anoona kereke semukadzi wake.
Chiverengo chechinomwe chinoratidzirwa sekuporeswa kwese kuri kuviri. Mucherechedzo wakanaka.
Kuporesa munhu ane maperembudzi kunopa muprofita mbiri huru.
II MADZIMAMBO 5:8 ... Ngaauye hake [Naamani] zvino kwandiri [Erisha], azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri.
Jesu akashandisa munhu aive nemaperembudzi kuzivisa maprista kuti Aive, saErisha, muProfita ane simba kwazvo pamusoro pezvirwere.
MaJuda vaizoramba simba rake asi vaHedeni, vakafanana naNaamani, vaizogashira simba rake mukati menguva nomwe dzemakereke.
MATEO 8:3 Jesu wakatambanudza ruvoko rwake, akamubata akati, ndinoda chinatswa! Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
MuJuda uyu aida kubata neruvoko rwaJesu kuti atende.
Munhu wemaperembudzi aive anatswa kubva kuhurwere. Vanhu vose vakakudza Erisha nekuti aive aita kuti muHedeni aive nemaperembudzi anatswe.
Saka, vatungamiri vemaJuda vanofanira kukudza Jesu semuprofita Mukuru nekuti akaporesa muJuda aive nemaperembudzi.
MATEO 8:4 Jesu akati kwaari, tarira usavudza munhu asi enda uzviratidze kumuPirisita, ubayire chipo chakarairwa naMosesi chive chapupu kwavari.
Miriamu naNaamani muSiria ndivo vanhu vaviri voga vakanyorwa vaive nemaperembudzi akaporeswa.
Saka, Jesu akatumira munhu aaive aporesa kubva kumaperembudzi kuvaprista kuti vazive kuti pakati pavo vaive nehushumiri hukuru hwemuprofita Mukuru.
Pakupedzisira, maprista aizoramba kuti Jesu ndiMessiasi. Asi vaizofuratira humbowo hweruponeso urwu nekuziva. Hapana pakati pemaprista aive amboporesa munhu aive nemaperembudzi saka vaive vakuziva, kubva pakupupura uku, kuti Jesu aive nesimba gurusa kudarika ravaive naro.
Kupupurwa kwesimba rake uku kwaive kwaitirwa maprista kwete vanhu.
Nei kwaive kusina kuitirwa vanhu?
Nekuti vanhu vanorasiswa kwazvo nekuita kwemweya unoshamisa vanhu vazhinji vanoungana vachiunganira Jesu zvaimutadzisa kuita zvaaida kuita. Vanhu vazhinji vane murangariro wenguva pfupi. Kana mufaro wadarika, vanodzokera kune zvavaive pakutanga.
Munhu wemaperembudzi aive akamiririra maJuda. Akaita zvakasiyana kwazvo nezvaakaudzwa naJesu kuti aite. Izvi zvakakudza dambudziko rekudzoreredza vazhinji vakaungana.
MARKO 1:45 Asi iye wakabuda akatanga kuzvivudza vanhu vazhinji nokuparidza shoko iro nokudaro Jesu wakanga asingagoni kupinda muguta pachena asi wakanga ari kunze panzvimbo murenje. Vakavuya kwaari vachibva kumativi ose.
Tichiwedzera, ruvengo rwaive nemaJuda kuvaRoma rwaireva kuti vaida kuti Messiasi azokandira vaRoma kunze kweJudea. MaJuda vaizotevera nekuda kwavo Jesu kana vaizogona kumumanikidza kufamba nenzira dzemhirizhonga dzezvematongerwo enyika.
Vakaita kukanganisa kukuru kwekubatanidza zvematongerwo enyika nechitendero. Izvi zvakabereka muchongoyo werufu.
JOHANE 6:15 Zvino Jesu, zvaakaziva kuti vodo kuvuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabva zve akaenda mugomo ari oga.
Vanhu vazhinji vanofunga kuti vanobatira Mwari nekuedza kumanikidzira Mwari kuti aite zvavanoda kuti zviitwe. Vanhu vamazuvano vanoda madhisiko nemimhanzi yemangoma saka vanouya nengoma mukereke votaura kuti Mwari anoda kurumbidzwa nekunamatwa nenzira iyoyo. Bhaibheri harina kubvira rataura nezvengoma.
MuHedeni anobereka kutenda kuzhinji kudarika maJuda
MATEO 8:5 Jesu wakati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akavuya kwaari. Akakumbira zvikuru kwaari,
Jesu aive ararama muKapenaume kwenguva yakati kuti mumashure mekubva Nazareta.
MATEO 4:13 Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi.
Mukuru wezana wechiRoma muHedeni.
Kapenaume zvinogona kureva kuti “dunhu rekudekara” kana kuti “kuzviunganidzira zvinhu zvisina kurongeka”.
Zita rinodakadza apo vesainzi vakaoma kuti kusarongeka kwakura munyika yevanhu apo nguva inoramba ichifamba.
Kushaiwa kurongeka uku hakugoni kuderera saka nguva haigoni kufamba ichidzokera shure kwatiri. Hatitozivi kuti nguva chii, asi dzinogona chete kufamba dzichienda mberi munguva inouya.
Saka maJuda muKapenaume vaifanira kuziva nguva dzavo naJesu vomugamuchira. Havana. Saka Jesu akabva kwavari akauya kuvaHedeni. Kereke yeRaodikia haizivi zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri kuzuva redu, saka Jesu achaenda kumaJuda nekukasika. Munofanira kuziva nhanho dzekufamba kwaMwari mumazuva enyu sezvo mwari anoramba achifambira mberi.
Zvishamiso zvikuru zvakaitika muKapenaume asi hazvina kukurudzira maJuda kutsvaga chokwadi.
Tine dambudziko rimwechete iri nehushumiri hwaWilliam Branham. Zvishamiso zvikuru zvakaitika asi hazvina kukurudzira vaimutevera kuti vatsigire zvaaitaura neMagwaro kuti vadzorerwe kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yakatangwa nemapostora.
Vakawanda vanotevera hama Branham asi vashoma vanonzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri zvavaive vauya kuzozivisa.
“Ndakanzwa kuti” zvakatsiva kuti “Zvakanyorwa zvichinzi”.
Vanhu vangove vaendi vekumakereke kune imwechete yemazhinji akasiyana siyana emakereke emharidzo akasimuka kubva pakuturikirwa kwakasiyana kusiko kwezvakabatwa paitaura vanhu.
Sekunge ndiko kuitika kwaiita zvinhu munguva yekereke yekutanga.
Vadzidzi muBerea vakagadza hwaro hwechokwadi apo vainzvera Magwaro mazuva ose kuti vatsvage zvaitaurwa naPauro.
MABASA 17:10 Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJuda.
11 Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.
Kereke yekutanga haina kubvira yaedza kuturikira zvakavanzika zveKutinhira kunomwe kusina kunyorwa, kana zita idzva raJesu, kana Zvisimbiso zvinomwe.
Kuva nguva yekereke yeRaodikia, chinokwezva vanhu nhasi kahupenyu kehutefe tefe mukuchengetedzeka mumagariro pakati peboka rekereke risingadi kugadziriswa.
Vanhu vanoda kupfuma nekuita zvinhu zvizhinji apo vanounganidza zvinhu zvina magumo kuti varatidzire kubudirira kwavo munezvemari. Kutora kusina magumo ndiko kutsanangurwa kweinonzi kapitarizimu yekuMadokero. Vanhu havagutsikane vanoramba vachitora zvinhu vasina kurongeka zvimwe zvacho zvekuti vana vavo vanozorasa kana vanhu ivavo vafa.
Tinotenga zvinhu zvatisingadi kufadza vanhu vatisingafariri tichishandisa mari yatisina.
Mari nezvinhu ndizvo zvakutariswa pavanhu. Tinochiviwa nekuda kwezvatirinazvo, kwete kuti nezvatiri.
“Sirveri nendarama handina” ndizvo zvakataurwa nemupostora mukuru. Kutaura uku hakutokwanisi kuitwa nevatungamiri vemakereke nhasi.
MATEO 11:23 Iwe Karpenaume uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma ringadai richipo nanhasi.
Jesu akagara akaparidza muKapenaume nesimba remweya unoshamisa rakawandisa kwazvo asi guta iri rakapesana nekudanwa kwaro rikaparadzwa.
Mabasa emweya unoshamisa akafanana nekumisa kwemvura inoenda nekukasika kana yangonaya.
Kukura kwezvishamiso zvamakaona mukaramba, ndiko kukurawo kwemurango wenyu.
Kugara kwaJesu muguta iri hakuna kuriita kuti rive guta rekutenda kukuru. Nenzira imwechete, kusangana nehama Branham nekugara navo vachiparidza hakuiti munhu chitubu chechokwadi cheBhaibheri.
America yakaona Hushumiri hukuru “hwezwi remutumwa wechinomwe” asi neimwe nzira zvakashandurwa zvikaitwa “Izwi raMwari”.
Mweya weCatholic wemunhu asingatadzi anodaidzwa kuti Pope wakakurawo ukapinda mumakereke emharidzo nekutaura kuti hama Branham muprofita asingatadzi. Zvisinei nekufungidzira kwavakaita kusiko kwekuti America yaifanira kuparadzwa muna 1977. zvisinei nekuti akataura kuti akamira pasi peGore guru rakaonekwa muna 1963 paaive kuSunset Peak musi wa 8 Kurume 1963. Gore guru iri rakatorwa mifananidzo musi wa 28 Kukadzi kumusoro kweFlagstaff nzvimbo iri mamaira 200 kumusoro kweSunset Peak. Gore harina kubvira raonekwa kuSunset Peak. Hama Branham vaive vasiri kuFlagstaff pakafamba gore muchinguvana mumashure mekudoka kwezuva kwemaminetsi 28.
Vanhu vekuAmerica vakatungamirira pakusimudzira hama Branham kuvaita Mukuru uye Mwanakomana weMunhu. Vakashandisa zvaakataura kutsiva Magwaro. Izvi zvakavodza hushumiri hwake hwaifanira kuva hwekuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri zvaizotiita kuti titevere Magwaro zvakazara.
Zvakataurwa nehama Branham zvinofainra kutsanangura mavhesi eBhaibheri, kwete kutsiva mavhesi eBhaibheri.
Mugore 2020-2021 America yakarohwa zvine simba kudarika dzimwe nyika dzese nehutachiwana hwekorona COVID-19. Mwari ari kuedza kutiudza chimwe chinhu.
Kuna Zvakazarurwa 13 America inomiririrwa neChisikwa chinosimuka kubva panyika. Vanhu vekuAmerica vakabatwa nechirwere chemhezi chaive chauya nevanhu vechiSipanishi kubva kuMexico. Saka kwaive nevashoma vavo vaigara munzvimbo huru, dzaive dzakashama. Nyika ine vanhu vashoma kwazvo.
Mari yeAmerica inounza mufananidzo wechikara unova chitendero chakarongwa cheMasangano anopikisa chiCatholic nemakereke. Chisikwa chemugungwa, ruzhinji revanhu runobatana rwemuEurope, ndiyo Roman Catholic. Chimisikidzo ichi chine munhu mumwechete, Pope asingatadzi, ari chokwadi chavo Chikuru. Munhu mumwechete ari musoro wekereke ndiwo mweya wechiCatholic apo unobereka mufananidzo weMasangano anopikisa chiCatholic muduku, vanoshanda nemurawo mumwechete wemapoka, sezvinongoitwa nekereke yeCatholic ine vanhu vanoitevera vanosvika 1.4 bhiriyoni.
ZVAKAZARURWA 13:15 Chikapiwa masimba okupa mufananidzo wechikara mweya, kuti mufananidzo wechikara utaure, chiraire kuti vose vasinganamati mufananidzo wechikara vavurawe.
Mari ndiyo mweya wemasangano nemapoka. America ine mari iri kuishandisa kuparadzira maonero avo nezvavakabata paitaura hama Branham nekuvasimudzira kuita Izwi raMwari (zvisina kubvira zvavimbiswa muTestamente Itsva). Saka mapoka emharidzo anoramba achiwanda sehutachiwana pavanorasika zvakanyanya kubva kuShoko rakanyorwa. Vanhu vanotenda nemufaro muzvakaipa zvisimo muMagwaro chero vachingogashira mari yekuAmerica.
“Vavurawe”. Kuuraya kunhu hwevanhu vaya vasingatendi mune dzidziso dzezvakataurwa zvakanatswa zvikasarudzwa nemazvo nekuti vanosarudza kutevera Magwaro.
Kutenda kwakanaka kunozorora paKutaura Shoko chete
Yambiro kubva kuna Mwari yekuti tinofanira “kutaura Shoko chete”.
Taurai chete zvakanyorwa muMagwaro.
Hatifaniri kukudza dzidziso dzakachenjera dzinobva pakuturikira kwedu kwatinoita zvakataurwa.
Mapoka eMharidzo akawanda akasiyana haakwanisi kuva ese achigona. Vanoziva nezvehama Branham nenzira yakafanana nezvaizivikanwa neKapenaume pamusoro paJesu. Kapenaume yaiziva Jesu asi yakapesana nechikonzero chehushumiri hwake. Hama Branham vakaramba vachitiudza kuti titevere Magwaro. Chinangwa chezvavakataura chaive chekuzivisa Magwaro kuti tinzwisise zvakavanzika zveBhaibheri. Kuda kuturikira Magwaro nemamwe Magwaro kwakapesana nevakawanda.
65-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA
… kuti vanhu vakatenda kuMharidzo yekuti Ishe Jesu vakandipa kunguva ino, kuti izive zviri kuitika, nekuzviisa muMagwaro.
64-0614 BHORA RAKASIYANA
Ndizvo zvandakaudzwa neMutumwa, “Ita kuti vanhu vakutende”.
Kana ndikakuudzai Shoko raMwari, hakusi kuti “Tendai mandiri”, kureva kuti “Tendai kuShoko”.
63-0630 RWENDO RWECHITATU
Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari riri kudaidza mumazuva enyu.
60-0804 APO GONDO RINORINGA DENDERE RARO
Tinoziva kuti Bhaibheri rakanaka; harizi izwi rangu; izwi raMwari, anotaura naro
Vanhu veKapenaume vakafuratira Jesu. Mapoka eMharidzo vari kusandisa zvakataurwa nehama Branham kubva pakutsigira zvavanotenda neMagwaro. Saka mapoka eMharidzo vari kuwedzera kushaiwa zivo pamusoro peBhaibheri.
Vatungamiri vechiJuda vaive mubishi rekufuratira Jesu.
Mukuru wezana wechiRoma aitsvaga Jesu aive Shoko
MATEO 8:6 Achiti Ishe muranda wangu avete kumba, akafa mitezo asi unotambudzika kwazvo.
Muhedeni uyu aiziva chokwadi. Jesu Kristu ndiShe.
Kufa mitezo hurema hunokonzeresa kudedera usingade.
Jesu, achida kuzivisa kuti Evangeri richaenda kuvaHedeni mumashure mekunge vaJuda vamuramba, ivo vakada kuenda naye.
MATEO 8:7 Jesu akati kwaari, ndichavuya kuzomuporesa.
Muhedeni akapa mhinduro inodakadza.
MATEO 8:8 Mukuru wezana akapindura akati Ishe, handina kufanira kuti mupinde mumba mangu asi taurai henyu shoko rimwe chete muranda wangu uchapora.
“Taurai henyu shoko rimwechete” zvese zvinobva zvanaka.
Dai isu vaHedeni tasvika pachidanho chekungotaura Shoko raMwari chete. Kutenda zvinotaurwa neBhaibheri chete. Chero zvatinotenda zvinofanira kutsigirwa nekuyananisa Magwaro akafanira pamwechete. Nenzira iyoyo tinotsanangura zvinoreva Bhaibheri nekushandisa mamwe mavhesi eBhaibheri.
Chakavanzika cheramangwana rekutenda kwevaHedeni. Kutsanangura Magwaro tichishandisa mamwe Magwaro.
Kubudirira kwekereke yevaHedeni munguva imwe neimwe kunozobva pakuti vakafamba pedyo neMagwaro zvakadii. Kukundikana kwavo kunobva pakuti vakabva pedyo nemavhesi eBhaibheri zvakadii.
Tinofanira kuwana zaruriro kubva kune zvakataurwa tozvinzvera muBhaibheri kusvikira zaruriro idzodzo dzatsigira neMagwaro.
MATEO 8:9 Nokuti nenivo ndiri munhu unorairwa, ndina varwi pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, enda, unoenda. Kunomumwe vuya, unovuya. Nokumuranda wangu ita chichi unoita.
Varwi vanoshanda nesimba rine mutungamiri wavo pamusoro pavo zvekuti akataura chinhu vanochiteerera.
Kereke ichaita simba reBhaibheri chete kana vanhu vakatenda chete nekuterera zvakanyorwa muMagwaro.
MATEO 8:10 Jesu wakati achinzwa izvozvo, akashamiswa akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handina kumbovona kutenda kwakadai kunyangwe napakati paIsraeri.
Jesu akashamiswa. Izvi ndizvo zvaaida pakereke yake yaizouya.
Testamente Itsva yaizonyorwa iri Shoko raMwari vatendi “vaizotaura Shoko chete”. Kereke yekutanga yaizotaura nekutenda zvaive zvakanyorwa Mumagwaro chete. Pasina kubva pariri.
Pamuedzo mumwe nemumwe, vaizoti. “Zvakanyorwa zvichinzi ...”.
MATEO 8:11 Ndinoti kwamuri vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAburahama naIsaka naJakobo muvushe hwokudenga.
Kumabvazuva ikereke yekutanga apo zuva rinobuda. Kumavirira inguva yekereke yekupedzisira apo zuva rinonyura nguva dzemadekwana.
MATEO 24:27 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu.
Kereke yevaHedeni yepasi rese ichasimuka pachamutswa vakafa pamagumo enguva dzemakereke. VaHedeni ava vaizouya kuna Jesu munguva dzemakereke votenda kuShoko rake. Vachatorwa kukwira kudenga kunosangana kuMutambo weMuchato neGwaiana pavachanosangana nevatsvene veTestamente Yekare vakamutswa mumashure mekumuka kwaJesu kubva kuvakafa.
MATEO 8:12 Asi vanakomana vovushe vachabudiswa kurima rokunze, apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno
Asi maJuda vakavingwa naJusu vaizomuramba voripira muripo unorwadza kwazvo. Vanhu vanodarika 1 miriyoni vaizouraiwa muna AD 70 nemubati weRoma Tito paakaparadza Jerusarema neTembere. Vamwe maJuda 58,0000 vaizouraiwa nemubati weRoma Hadrian paakaparadza kumukira kweBarKochba muna AD 135 akaendesa maJuda kuhutiziro munzvimbo dzese dzehushe hweRoma. Vaizorarama makore anoda kusvika 1900 ekurwadziswa, kudzingwa, kubirwa, kutorerwa zvinhu zvavo nekuuraiwa.
Ramangwana remaKristu achiramba maJuda riri kuratidzwa nebudiriro yemukuru wezana wechiHedeni ari mucherechedzo wevaHedeni vaizosarudza kutenda munguva dzemakereke aizouya.
MATEO 8:31 Zvino Jesu akati kumukuru wezana, enda uitirwe pawakatenda napo. Muranda wake akapora nenguva iyo.
Sekutenda kwenyu, zvichaitika. Muranda akaponeswa ari kure. Kereke yenguva yaizouya yaizoponeswa kubva mukusatenda iri munzvimbo dziri kure kusvika mumasenturi akawandisa aizouya nguva dzemberi.
Chaifanira kungoitwa nevaHedeni kwaive kutenda. Kusangana naJesu panyama kwaive kusina basa.
Kutenda mune zvatisina kuona, tisina kubatwa panyama, ndiko kutenda kwepamusoro-soro.
Kugona kutenda muShoko raMwari kana pasina humbowo hunoonekwa kuti tirwire kutenda kwedu. Ndiko kutenda kunodakadza. VaHedeni vanaro simba iri.
Petro aive asiri Pope
MATEO 8:14 Jesu, wakati achipinda mumba maPetro, akavona mai vomukadzi wake vavete vachinzwa fivhiri.
Petro aive akaroora. Saka, aisakwanisa kuva ari Pope.
Maprista anorambidzwa kuroora mudzidziso dzeRoman Catholic.
I TIMOTIO 4:1 Zvino Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinovuya vamwe va chatsauka pakutenda, vachiterera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa,
3 vachidzivisa vanhu kuwanana,
Jesu ari kutiyambira zviri pachena. Chitsauko ichi chinobata paari achitendeukira kuvaHedeni munguva inouya.
Vaya “vanotaura Shoko chete”. Mune mamwe mazwi, vanoramba vachitevera Magwaro zvakazara.
Asi muvengi mukuru kuvaHedeni haasi kuzova hushe hweRoma yemapegani hunoparadza nekuuraya maJuda. Muvengi mukuru kukereke yevaHedeni aizouya kubva pakati pekereke. Hushe hweRoma yemapegani hwakaparadzwa nemarudzi evatorwa muna AD 476 asi wakazomuka kubva mumatongo eHushe hweRoma uri Kereke yeRoman Catholic. Kereke yeCatholic ndiyo yega chikamu cheRoma chakararama pakaparara hushe hweRoma saka ndiyo muvengi wakare wechokwadi. Muvengi mumwechete aivepo munguva nomwe dzese dzekereke.
Kutsiviwa kwemaPope ndiko mutsetse wakarebesa wevatongi pasi rese. Simba ravo rinouya kubva mukutaura kwekuti Petro ndiye aive Pope wavo wekutanga uye kutaura kwenhema kwekuti Petro akasvika kuRoma. Pauro paakanyorera vaRoma akamhoresa vanhu vanokwana 27 paakapedza asi haana kutaura nezvaPetro. Saka, Petro haana kubvira asvika kuRoma. Aive mupostora kuvaJuda akaenda kuBabironi kunoparidzira maJuda vakasara ikoko Sairasi paakasunungura maJuda kuti vadzokere kuIsraeri.
ZVAKAZARURWA 17:9 ... vachashamiswa kana vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo
Kutsiviwa kwemaPope. Kutaura kwavo kwekuti Petro aive Pope wekutanga zvinoreva kuti kwakagara “kuina” Pope kubva pakutanga kwekereke.
“Hachichipo”. Pope anofa.
“Chichazovapo” Pope mutsva anosarudzwa.
MaPope ndiwo mutsetse mukurusa wevatongi uchiri nesimba pasi rose kusvikira nhasi.
MATEO 8:15 Akabata ruvoko rwavo, fivhiri ikabva kwavari. Vakasimuka vakavashandira.
Jesu aive nemabatiro aya pamusoro pevanhu. Akasimuka kubva panhowo yeurwere pakarepo akatanga kuvagadzirira zvekudya. Pahuvepo hwaJesu, vanhu vaida kwazvo kumushandira.
Zvimwechete nhasi uno. Kana tikatendeuka zvakazara tikagashira Jesu saIshe naMuponesi wedu Jesu anotikurudzira kuda kumushandira neimwe nzira.
Rwendo rweruponeso rukuru munguva dzemadekwana
MATEO 8:16 Ava madekwana vakavuya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa. Akabudisa mweya neshoko. Akaporesa vose vairwara.
Nguva dzemadekwana. Hushumiri hukuru hwekuporesa.
Izvi zvinoratidzirwa munguva yechinomwe yekupedzisira. Madekwana apo nguva yekereke yekupedzisira yaakuda kunoguma, William Branham akapihwa chipo chikuru chehushumiri hwemweya unoshamisa.
Isaya akataura pamusoro paMessiasi uyo, sembudzi yekurasirira, aizotakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure kure.
MATEO 8:17 Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya achiti, iye wakatora vutera hwedu, akatakura marwere edu.
ISAYA 53:4 Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu;
Chainyatsotyisa mugore 2020 kwaive kukasika kwaiita kupararira kwehutachiwana hwekorona COVID-19 hukavhara makereke aive asina chaaigona kubatsira nacho munguva yehutachiwana hwaipararira zvakaipisisa uhu. Taifanira kuvimba nanachiremba kuti varwise hondo iyi. Saka, izvi zvinotaura kuti kudii nemakereke edu?
Vakakundikana pamberi pemuvengi. Hakuna hondo yeruponeso yairwira kuparadza hutachiwana.
Ichi chiratidzo chaMwari achitiramba sevaHedeni here achidzokera kumaJuda?
Vanhu vanoungana vari vazhinji havafadzi Jesu
MATEO 8:18 Jesu wakati achivona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri.
“Mhiri”. Rudo rwake rwaive rwusisiri kurutivi rwemaJuda rweGungwa reGarirea asi rwaive rwava kuvaHedeni kumhiri kweGungwa reGarirea.
Jesu akatendeuka zvakare kubva kuruzhinji. Ungano huru yevanhu iri nyore kushandura mifungo yayo.
Kana kuratidzira kwese nekufadzana kwese kwapera, vanhu vanobva, vashoma kwazvo vosara vachitsvaga chokwadi.
MATEO 18:20 Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.
Jesu akabva kuungano huru ari pakati pekaboka kaduku.
RUKA 12:32 Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe.
MATEO 7:13 Pindai nesuvo rakamanikana nokuti suvo rakafara nzira yakapamhamha inoenda kukuparadzwa. Vanopinda naro vazhinji.
Vanhu vakarasika vanosarudza nzira yakafaranuka yemafaro nembiri.
MATEO 7:14 Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.
Nzira yechokwadi yakaoma ichateverwa nevashoma. Kukura kunoita kurasika kwekereke paMagwaro, ndiko kukurawo kwayo. Vanhu vanoda kuponeswa asi vobva vazosarudza hupenyu huri nyore hune mbiri.
Jesu akatendeuka kubva kune izvi. Anoda zvakanaka kwete zvakawanda.
Kutevera Jesu kunoda kushingaira nekuzvipira
MATEO 8:19 Zvino mumwe munyori akavuya kwaari akati, Mudzidzisi ndichakuteverai kwose kwamunoenda.
Munhu uyu aive azvipira kutevera Jesu kwese kwaaienda kusvikira azoona kuti kwaive kusarudza hupenyu hwekuomerwa uye pasina nzvimbo yekugara yakadzikama. Paive pasina kuchengetedzeka kwenyika ino mukutevera Jesu. Zviuru zvemamishinari vaizoenda kuAsia nekuAfrica vonofirako nezvirwere zvakaipisisa kana kuuraiwa nemarudzi aive emhirizhonga. ChiKristu hachisi chevakaneta. Mupostora Johane ega ndiye akazofa nekuchembera. Asi iyewo akatogara mujere ruviri pachitsuwa chePatmosi.
MATEO 8:20 Jesu akati kwaari, mhungubwe dzine mwena neshiri dzokudenga dzina matendere asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamhidza musoro wake.
Jesu aive asina tsitsi nenhau dzekuda kuchemana pamariro.
MATEO 8:21 Mumwe wavadzidzi akati kwaari, Ishe nditenderei henyu ndimbonoviga baba vangu.
Vadzidzi vaifanira kuita kuti mweya yevanhu iponeswe nekuparidza Evangeri, kwete kufunganya pamusoro perufu nepekuti togara pai pakasununguka.
MATEO 8:22 Asi Jesu wakati kwaari, nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.
Hatifaniri kufunga kuti tinogona kutevera Jesu kana tikararama nezvinodiwa netsika dzedu.
MATEO 8:23 Wakati apinda mugwa, vadzidzi vake vakamutevera.
Kupinda mugwa mucherechedzo wekuti vadzidzi vaizova vakatarirwa kufamba vachimutevera. Vaive nerusununguko rushoma kwazvo rwekufamba vachitenderera.
Jesu anoyambuka gugwa rakatsamwa kunobatsira vaHedeni vaviri vairwara nenjere
Jesu akasiya maJuda akayambuka gugwa rinotyisa kunobatsira vaHedeni vaviri vaive vakazadzwa nemadhimoni.
Jesu aive akuenda achibva kuungano huru paKapenaume achienda kunonunura vanhu vaviri vakazadzwa nemadhimoni vaive vaHedeni kumhiri kwegungwa kana nyanza yeGarirea.
Vanhu vaviri ndiro boka dukusa raungasangana naro.
Ndizvo zvinodiwa naJesu muvanhu vakazvimiririra.
Vairarama munzvimbo dzisingazivikanwe dzeGedara. Nzvimbo iyi yaive payo yoga zvakanyanya zvekuti chero vadzidzi vachiri kubvunzana kuti iripi.
Humbowo hwega huripo padonhwe dzvuku (mumepu) ndehwekuti ndiyo yega nzvimbo ine mahombekombe akaita mawere achinopinda mugungwa.
Saka, Jesu aisiya maJuda mazhinji kuti ayambukire mhiri kwegungwa reGarirea kunotsvaga vanhu vechiHedeni vaviri vaisazivikanwa vaive vachirwara vasinawo nzvimbo yakadzikama yekugara yatinogona kuwana nhasi uno.
Ndiyo yaive mhinduro yake kumaJuda vaizomuramba. Aizosarudza kuenda kunotsvaga vaHedeni vaviri vaive vakarambwa.
Kereke yeRaodikia (veRaodikia vanoita dzidziso dzavo vega dzakachenjera) Jesu akamira kunze kwekereke.
Nekuramba Shoko rakanyorwa vachisarudza zvavakabata paitaura vanhu, vaHedeni vari kuramba Jesu.
Saka yava nguva yekuti Ayambukire kumaJuda kunotora maJuda 144 000 kubva munguva yeKutambudzika. NevaHedeni vanoda kusvika 8 bhiriyoni, maJuda vanenge vangori zviuru zviviri zvechikamu chimwechete chevanhu vari pasi rese. Donhwe zvaro mugungwa. Asi Jesu muvhimi anotsvaga vashoma.
Anosiya vanhu vazhinji kuti anotsvaga vashoma vakarambwa vasina anovada.
MATEO 8:24 Ipapo dutu guru remhepo rikamuka mugungwa nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu. Asi Iye wakanga avete.
Ikozvino kukosha kuri pagungwa zvinomiririra vaHedeni vasina kugadzikana vanhu vazhinji nemarudzi.
Raive gungwa rakatsamwa.
ZVAKAZARURWA 17:15 Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji namarudzi, nendimi.
Kushanda nevaHedeni raive dambudziko gurusa kuna Mwari nekuda kwemhepo zhinji nematutu zvinomiririra hondo nematambudziko. Nhorondo yevaHedeni izere nehondo nekuurayana. Kuuraiwa kwevanhu vazhinji sekwakaitwa naAlexander muGiriki anodaidzwa kuti Alexander Mukuru. Nhorondo yevaHedeni inowanzonyorwa mumigomo yeropa.
Hushe hweRoma yemaPegani hwakauraya maKristu mamiriyoni matatu pakati pegore AD 64 kusvika AD 312.
Kereke yeRoma yakakurudzira kuuraiwa kwemakumi emamiriyoni evanhu mukati meNguva dzeRima.
Kumukira kweFrance nehondo yaNaporiyoni zvakauraya vanhu vanosvika mamiriyoni matatu nehafu apo nyika dzemarudzi emuEurope dzaibarwa. Europe yakazoita nyika dzayakatapa pasi rese idzo Mutungamiri wenyika yeFrance Macron muna 2017 yakabvuma kuti yaive mhosva maringe kodzero dzevanhu. Kubira vanhu nekuvauraya vachishandisa pfuti nekunyima zvekudya vanhu vanodarika 30 miriyoni vechiIndia kusvikira vafa vachiba chikafu chavo kuti vabhadhare kusimuka kwemaindasitiri muBritain.
Nyika dzakatapwa neEurope dzakabva dzapandukirana muhondo yepasi rese yekutanga neyechipiri. Nekuda kweizvi vakarasikirwa nevatapwa vavo. Kusagadzikika nechiterorisiti zvakaparadza nyika dzakazvimiririra dzega idzi.
Mumwe wezvenhorondo anoti mumakore 3 400 makore 268 chete ndiwo aive nerunyararo pasi ese. Izvi zvinoreva kuti 8 % chete dzemamereniyamu matatu akadarika (mereniyamu ine makore 1 000) ndidzo dzaive nerunyararo.
VaHedeni vanoita sevasingatozivi zvinoreva runyararo nerugare.
MATEO 8:25 Zvino vadzidzi vake vakavuya, vakamumutsa, vakati, Ishe tiponesei tofa!
Mhepo dzakaipisisa nemafashamu zvakatyisa vadzidzi vaJesu nenzira imwechete hondo dzaizouya nguva yaiuya dzaityisa maKristu. Jesu aive akarara nekuti hakuna aitaura naye. Ndiko kukanganisa kukuru kunoitwa nemaKristu. Tinomufuratira.
Jesu anotonga nyika negungwa
Jesu ane simba rakazara pamusoro pengungwa nemarudzi asina kugadzikana (gungwa remweya).
MATEO 8:26 Akati kwavari, Munotyireiko imi vokutenda kushoma? Zvino akamuka, akaraira mitutu negungwa. Kudzikama kukuru kukavapo.
Kutya chiratidzo chekutenda kushoma.
Asi pavakangomumutsa Akataura kudzikama kukavapo. VaHedeni vachapinda mudzihondo kusvikira hondo yekupedzisira yaitika paAmagedhoni. Jesu achapedzisira agona kugadza runyararo rwepasi rese rwemakore 1000.
Runyararo rwekupedzisira rwuchavapo kana Jesu adzoka panyika aparadza Chikara Pope nehondo dzake. Jesu anofanira kumira kuti atonge nyika samambo Mukuru kwemakore 1000. Satani achasungwa nengetani dzezviitiko zvenguva iyoyo ari pasi pegomba rakadzika dzika rugare rwovapo panyika. VaHedeni vanenge vapunyuka paAmagedhoni vasina kubvira vanzwa Evangeri vachava nerugare vofamba nekuzvirereka kwazvo mumashure mekuuraiwa kwevanhu kukuru uku.
MATEO 8:27 Vanhu vakashamiswa vakati, uyu munhu kunyi zvaanoteererwa nemitutu negungwa?
Gungwa rinomiririra nyika dzisina kugadzikika. Mhepo dzinomiririra hondo nematambudziko. Chero hondo dzemaHedeni dzese dziri pasi peruoko rwaMwari. Kwemakore gumi Siria yakashungurudzwa nehondo dzemarudzi, asi zvakavamisa kurwisa Israeri. Naporiyoni aive nyanzvi munezvehondo asi hondo dzake dzaiparadza dzakamanikidza vanhu vemuEurope kuti vabatane kuita marudzi akasiyana siyana kuti vapikise Naporiyoni. Hondo yePasi rese Yekutanga yakasiya England isisina mari mumabhanga hondo yepasi rese yechipiri yakavaita kuti varasikirwe nehushe hwavo hwepasi rese. India yakawana kuzvitonga kuzere ikakwanisa kusimuka kuva imwe yenyika dzine hupfumi hukuru pasi rese. Hondo mbiri dzeGulf dzairwisa Sadamu Huseni dzakamumisa kuvaka Babironi. Bhaibheri rakaprofita kuti Babironi haizovakwe zve. Hondo yemarudzi muSiria ichangobva kuitika yakavamanikidza kukumbira rubatsiro kuHezibhora, boka revamukiri rekuRebhanoni, saka Hezibhora, ine varwi vayo vazhinji vari kurwa muSiria, yakatadzawo kuisa Israeri panjodzi. Saka Mwari anoramba achibata nekufambisa zvinhu kuti Israeri ichengetedzeke.
Hondo dzevaHedeni dzinoparadza kwazvo asi Mwari anodzishandisa kuitira zvikonzero zvake. Jesu ane simba pamusoro pemhepo dzehondo sekunyaradza kwaakaita madutu. Pakati pegore 1939 megore 1945 Hitira akauraya maJuda 6 miriyoni mukati meHondo yePasi rese yeChipiri. Izvi zvakakonzeresa nyika zhinji kunzwa tsitsi pamusoro pemaJuda akanga arwadziswa mubatanidzwa wenyika dzepasi rese (UN) ukavapa chidimbu chenyika yavo muna 1947. Muna 1967 Egipita yakarwisa Israeri ikakurirwa muHondo yeMazuva Matanhatu. MaJuda akarwa kwemazuva matanhatu vakagona kuzorora nezuva rechinomwe. Mutungamiri wemauto avo aive Moshe (Mosesi) Dayani. Mosesi akapa mazuva matanhatu ekushanda nekuzorora zuva rechinomwe makore anoda kukwana zviuru zvitatu nehafu akadarika. Kuita zita chairo pamashure penguva yakareba kudaro zvinotiratidza kuti Jesu ari kutonga.
Abrahama akapa Merkizedeki chegumi akakumbira kuti Eshkori apihwe mugove wake.
GENESISI 14:18 Merkizedeki, mambo weSaremi, akauya nechingwa newaini; iye wakanga ari mupirisiti waMwari woKudenga-denga.
19 Akamuropafadza, akati, "Aburama ngaaropafadzwe naMwari woKudengadenga, muridzi wokudenga napasi.
20 Mwari woKudenga-denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumaoko enyu." Akamupa chegumi chezvose.
23 kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti, `Ndini ndakafumisa Abhuramu',
24 ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, nomugove wavanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshikori, naMamure, ngavatore migove yavo."
muzukururwi waAbrahama Revi akatora chegumi apo vaRevi vaive vaPrista.
Muna 1967 Hondo yeMazuva Matanhatu yakawedzera zvakapetwa katatu zvidimbu zvavakadzosa zvenyika yechipikirwa. Mutungamiri wenyika yeIsraeri panguva yakatorwa nzvimbo huru iyi aive Revi Eshkori. Zita chairo pamashure pemakore anoda kusvika 4000.
Jesu ndiye ari kutonga zvakazara mhepo dzehondo. Abrama akatidzidzisa kuti kupa chegumi chinhu chakanaka. Minamato yechegumi yakaropafadzwa kwemakore 4000. kuratidza kusimba kwemazano eBhaibheri.
Asi mugore 1967 maJuda akabva atorawo marenje eSinai aive kunze kwemiganhu yeNyika yavo yeChipikirwa. Saka, muna 1973 vakasangana nekurasikirwa kukuru vachikurirwa neEgipita kubva kuSAM yemabhomba eRussia pedyo neGungwa Dzvuku. Mutungamiri wenyika Nixon akavatumira ndege dzehondo huru kwazvo dzaive dzakagadzirirwa kushaisa mamiziri eSAM simba. Israeri yakakurira hondo iyi ikadzorera renje reSinai kuEgipita kuti pave nerunyararo pakati pavo. MaJuda vaive vadzokera mumiganhu yavo yakapihwa Abrahama naMwari. Chidzidzo kwatiri apa ndechekuti hatifaniri kubvira taedza kurarama kunze kwemiganhu yedu yakaisirwa kereke naMwari.
Garai muchitevera Magwaro zvakazara mune zvamunoita nezvamunotenda.
MaJuda adzoka mumiganhu yawo, vave nerunyararo neEgipita, Jordani, neUnited Arabu Emirates mubatanidzwa wenyika nomwe. Kugara mumiganhu yedu yatakaisirwa neBhaibheri chinhu chakanaka.
Jesu akasiya ruzhinji rwevanhu vechiJuda muKapenaume kuti anotsvaga vanhu vaviri vakaipa munyika yeGadara. Nzvimbo yakasara yemaHedeni ichiri kutsvagwa nezvayo nevadzidzi vanhasi.
MATEO 8:28 Wakati asvika mhiri kunyika yavaGadara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasongana naye, vachibva kumarinda. Vakanga vane hasha kwazvo-kwazvo. Naizvozvo kwakanga kusina munhu waigona kupfuvura nenzira iyo.
Vaigara kumarinda semakereke akawanda anhasi akafa pamweya nemazano avo asimo muMagwaro. Kufawo kwekereke ndikowo kukura kwekusatevera kwayo Magwaro vanhu vekereke iyoyo vanotowedzera kutyisa kana vatanga kuzvirwira pamusoro pedzidziso dzavo. Nemasangano emakereke anodarika 45,000, zvinoratidza kuti kune kutadza kwakawandisa mumakereke nhasi uno.
Vanhu vaviri ava vaHedeni.
Jesu akatendeukira kuvaHedeni akasangana nedambudziko guru rekutanga raive madhimoni akanyanya aive akazadza ndangariro dzevaHedeni.
Madhimoni anogona chete kukudza dzidziso dzisimo muBhaibheri sezvo asingagoni kurarama mumiganhu yeBhaibheri.
Ndicho chikonzero nei marudzi evaHedeni achiputsa miganhu yawo kuti varwise nekutapa vamwe vanhu kana dzimwe nyika.
Tarirai mazano asimo muMagwaro ari kukura nekusimuka mukereke yevaHedeni.
Tiriniti. Mwari mumwechete muVanhu vatatu. Vanhu vatatu vari muhuMwari. Jesu ari muhuMwari. Mwanakomana asingagumi. Mwari Mweya Mutsvene. Baba Mwanakomana vakaenzana. Munhu weKutanga muhuMwari. Munhu weChipiri muhuMwari. Munhu weChitatu muhuMwari.
Dambudziko guru rine Tiriniti. Mwari weTiriniti haana zita. Hamugoni kuwanira Vanhu vatatu zita rimwechete. Hamugoni kutsiva zita nezvinzvimbo zvitatu. Totenda Tiriniti, Mwari akarasikirwa nezita rake.
Kereke yevaHedeni yakatanga kuputsa miganhu yeBhaibheri payakaisa Bhishopu pamusoro pekereke. Idzi dzaive tsika dzevaNikoraiti apo munhu ane simba nembiri anosimudzwa pamusoro pekereke iye otonga kereke. Pakanzuru yeNicaea muna AD 325 vakamanikidzira dzidziso yeTiriniti pakereke. Negore AD 350 vaive vagadzirira kutambira Kisimusi musi wa25 Zvita chero dai Bhaibheri risina kutiti tipemberere kuzvarwa kwaKristu.
Zvibvunzei, mweyai unokurudzira zvitendero zvekereke yeRoman Catholic nedzidziso dzayo dzisina kunyorwa muBhaibheri.
MATEO 8:29 Zvino vakadanidzira vachiti, tine mhaka yeiko nemi Jesu Mwanakomana waMwari? Mavuya pano kuzotirwadzisa, nguva isati yasvika here?
VaHedeni vaipenga ava vaive nechokwadi. Vakabvuma kuti vaitenda zvaibva kuvapegani uye kuti vaive vasina chekuita nezvaive zvakanyorwa muShoko raMwari. Jesu ndiye Shoko raMwari.
Kuudza kereke yevaHedeni isingateveri Magwaro chokwadi cheBhaibheri unenge uchiirwadzisa uchivakurudzira kutsamwa avanoramba kwete Magwaro aunotaura chete, asi iwe uri kumataura.
Vanhu ava havana chavaida nezvaJesu Shoko raMwari.
Nhasi vaHedeni vanokudza William Branham kumuisa muhuMwari nekumudaidza kuti haatadzi Izwi raMwari.
Testamente Itsva haina kubvira yavimbisa Izwi raMwari, asi izwi remutumwa wechinomwe chete.
63-0630 EKSODO (RWENDO) RWECHITATU
Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari riri kukudanai zuva ranhasi.
62-1007 KIYI YEPAMUKOVA
... vari kuparidza kuti vanhu vanofanira kusiya vakadzi vavo votsvaga vadiwa vavo vemweya, uye kuti ini handitadzi zvachose. Kuti hakuna ... uye, Oh, zvimwe zvezvinhu zvinonyangadza zvamunganzwe.
Kudaidza hama Branham kuti havatadzi zvakangofanana nekuita hupombwe.
Vanhu vemharidzo vakarasika tsoro iyi.
Madhimoni evaHedeni ari pamusha mugungwa revanhu vasina kugadzikana
Chero nguruve dzinofunga zvekusvika pakuda kugarira kure nevanhu vechiHedeni vaive vakazadzwa nemadhimoni ava. Kutaura kusimo muMagwaro kwese kunofanira kutityisa zvekuti tinotiza.
MATEO 8:30 Kwakanga kuneboka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo.
Iyi yaive nzvimbo yevaHedeni. MaJuda vaive vasingatenderwi kurima nguruve.
MATEO 8:31 Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti kana muchitibudisa, titenderei kuti tiende muboka renguruve.
MATEO 8:32 Akati kwavari, endai. Ikabuda, ikapinda munguruve. Boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
Hochi inguruve kana mhuka dzisina kuchena. Madhimoni aive muvanhu vaviri vechiHedeni ava aive nerudo negungwa akamanikidza nguruve kumhanyira kunozvinyudza mumvura. Izvi zvinoratidza nhorondo inouya yevaHedeni vanova vakazadzwa nemadhimoni anovaendesa kunonyura mugungwa risina kugadzikana remazano nemifungo yevanhu, dzidziso nehunhu hwavo. Vanozviparadza munhu mumwe nemumwe apo madhimoni anovaendesa muzvivi zvakaita sekuputa, kunwa hwahwa, zvinodhaka, kutsvaga mifananidzo yevanhu vakashama, nekunyura munezvemasaisai etekinoroji.
Kunobva kwauya zvivi zvakadzama zvakaipisisa zvemweya apo vaHedeni vanofunga kuti vanofanira kuva nhengo dzemakereke kuti vararame munyika. Sekuti “kuenda kukereke” kunovachengetedza. Vane husimbe hwekutsvaga chokwadi pachavo, vanozadzwa nedzidziso dzemakereke.
Vanoteedzera zvinotendwa nevatungamiri vemakereke avo vobatira mweya wapasita kana mufundisi wavo.
Vanosiya kuva munhu akazvimiririra vova muchekererwa wechinzvimbo chepiri chemunhu wavanoteedzera. Vanopemberera kuzvarwa kwamwari wemapegani wezuva musi wa 25 Zvita chero tisina kubvira tanzi tipemberere kuzvaarwa kwaKristu muBhaibheri. Muti weKisimusi usimo muMagwaro wakapinda mukereke. Kubva ipapo, zvinotaurwa nemunhu zviri nyore kutsiva zvakanyorwa muBhaibheri. Izvi zvinotarira vanoenda kumakereke kuti vanokandirwa munguva yeKutambudzika kukuru sezvo izvozvo zvega ndizvo zvichagona kuvazunza kuti vamuke vabude mukukanganisa kwenzira dzavo.
NaJesu akamira kunze kwemukova wekereke paRaodikia uye kereke ichitsanangurwa ichinzi marutsi, kereke iri munjodzi pekupedzisira. Hazvishamisi kuti nei kereke yevaHedeni yakambopfigwa neCOVID-19 hutachiwana hwekorona muna 2020. Mwari aiedza kutiudza chimwe chinhu.
Tese tinofanira kupfeka mamasiki. Mbavha dzinopfeka mamasiki.
MARAKI 3:8 Ko munhu angabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira.
Vakawanda vanobira Mwari nekusapa chegumi. Asi zvakanyanya zvacho kudarika izvozvo, nekutenda kuna Mwari weTiriniti kereke yakabira Mwari zita Rake. Hamugoni kuwana zita rimwechete rekudaidza vanhu vatatu.
Nekuda kwehutachiwana hwekorona tinofanira kugara tichigeza maoko. Pirato akageza maoko paakabvunza kuti “Chokwadi ndechipi?”
Tinobvunza mubvunzo mumwechete nhasi. Chokwadi zvinhu zvakataurwa nemunhu here kana tsananguro dzezvakataurwa nemunhu?
Vanhu vanoti “Kutinhira kunomwe kwakareva”. Asi hama Branham havana kubvira vataura kudaro.
Hama Branham havana kubvira vatiudza kuti zita raJesu idzva nderekutii.
1965 Nguva dzemakereke Nguva yekereke yeFiradefia
Zita rangu Idzva. ZVESE pazvichava zvitsva, achazvitorera Zita Idzva uye zita iroro richava Zita remwenga wake zvakare. Izita rekutii, hakuna angaedze kufungidzira. Zvinofanira kuva zaruriro yeMweya ichapihwa pakupedzisira zvekuti hakuna achaedza kuriramba. Asi hazvishamisi achasiira zaruriro iyi kuzuva raachada kupa Zita iri. Zvifarirei kuti muzive kuti zvichava zvakanakisa kudarika zvatingafungire.
ZVAKAZARURWA 19:12 Meso ake akanga akaita somurazvo womoto; pamusoro wake pakanga panekorona zhinji; wakanga anezita rakanyorwa, risina kuzikanwa nomunhu, asi naiye bedzi.
Hakuna munhu anoziva zita idzva.
Saka vanoenda kumakereke vanoramba vachingogeza maoko sekubvuma kuti havazivi chokwadi.
Chokwadi chaicho kutevera Magwaro zvakazara. Asi vanhu vemharidzo havagoni kutsigira tsanaguro dzavo vachishandisa Magwaro. Vanoripira nekutuka vanoda havo kutevera Magwaro.
VaHedeni vaviri ava vaityisa. Vairwisa vachikurira vanhu vose kusara kwaJesu, Shoko.
Vanhu vechiHedeni vanoenda kumakereke vakatsamwa vane hasha vachaparadza munhu wese asingatevere Magwaro zvakazara.
EKSODO 15:1 Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira JEHOVA rwiyo urwu, vakataura vachiti, "Ndichaimbira JEHOVA, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.
Farao, aive auraya vana vechiJuda, hondo yake yakanyura. Kurudziro yavo yemadhimoni, inoratidzirwa semutasviwebhiza, yakawana musha mugungwa, zvichimiririra vanhu vasina kugadzikika nemarudzi. Mweya yemadhimoni echipegani inopinda zviri nyore kunotonga vazhinji vevaHedeni umo madhimoni aya anonzwa akazorora. Nhaasi kune mimba dziri kubviswa dzakudarika 50 miriyoni gore rega rega saka mweya wekuuraya vana vasati vazvarwa uri kukurisa pakati pevaHedeni.
Vanhu vanofa. Madhimoni mweya haafi, anosimuka kunopinda muzvitendero, zvematongerwo enyika zvesimba munezvemari nekutonga vanhu.
Johane muzaruriri aiona kuna Zvakazarurwa 13 madhimoni echiHedeni aya achisimuka kubva mugungwa sechikara chine misoro minomwe, hushe hweRoma yemapegani hune muzinda wahwo pachikomo chikuru, chimwe chezvikomo zvinomwe zvaive zvakavakirwa Roma pakutanga.
Aya ndiwo aive masvingo eSevhiyani ekutanga (mutsetse weruvara rwebhuru) akapoteredza zvikomo zvinomwe.
Hushe hweRoma yemapegani hwaizoparadzwa nemarudzi evatorwa asi hwaizosimuka zvakare hwava kereke yeRoman Catholic mumatongo ehushe hweRoma. Kuna Zvakazarurwa 17 Johane akaona chikara chaive neruvara rushava. Ruvara rushava runopfekwa nemakadhinari vanofambisa zvinhu mukereke yeCatholic, vanomiririrwa nemukadzi anotasva nekutonga chikara. Mweya weRoma yemapegani ikozvino ndiwo kereke yeRoman Catholic.
Mukadzi anotasva nekutonga mweya wakaipisisa wechipegani wekereke yeRoman Catholic uyo simba rake riri muGuta reVatican muguta reRoma. Makore akapoteredza AD 370 hushe hweRoma yemapegani hwakavaka masvingo akati kurirei (anoratidzwa muruvara rutsvuku) akazobatanidzwa neGuta reVatican.
Asi muzinda weRoman Catholic chaiwo muzinda weLaterani uri pachikomo cheCaelian.
Saka kereke yakakurisa pasi rese hushe hweRoma hwakamuka apo madhimoni akaita kuti vatorwa vaparadze nyika amuke achibva mumamiriyoni evanhu vemuEurope akazopararira pasi rese totenda hushe hwemaPutukezi nemaSpanishi.
MATEO 8:33 Ipapo vaidzifudza vakatiza. Vakaenda kuguta. Vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
Vaichengeta nguruve vakatiza pakasvika Jesu. Chakaipa chagara hachidi kugara pahuvepo hweShoko rakanyorwa. Vaparidzi vanoparidza zvisimo muMagwaro vanogona kwazvo kunzvenga nekuramba Magwaro anomarwisa.
Vanoti, “Hazvina kukosha”. “Zvakangotaurwawo”. “Tinofanira kuzviziva here?”
Mhinduro dzakadai idzi dzinoreva kuti havana chokwadi uye havadi kubvuma kusaziva kwavo. Havanawo rudo rwekudzidza chokwadi.
MATEO 8:34 Zvino guta rose rikabuda kundosongana naJesu. Vakati vachimuvona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
Guta rese raive risiri varidzi venguruve. Asi guta rose rakatsigira varidzi venguruve vaive varasikirwa nemari zhinji. Vaida kuparadza Jesu aive aparadzira vanhu mari.
Saka, vanhu vechiHedeni vanobatana kupikisa Shoko, kunyanya kana zvikatanga kukanganisa kuwana kwavo mari. Vanomira pakurasikirwa nemari nekuda kweMagwaro vanokurira kutsamwa kwevanhu vose vanopikisa Magwaro.
Edzai kuudza vanhu kuti hatina kubvira tanzi tipemberere Kuzvarwa kwaShe vanobva vatanga kutaura zvemari inounganidzwa pamutambo mukurusa wepasi rese, Kisimusi.
Edzai kuudza pasita kuti hapana muTestamente Itsva pakaiswa pasita pakutonga kereke pakarepo anorwira kuwana kwake mari. Hakuna Magwaro anoti pasita ndiye mukuru wekereke. Hakuna Magwaro anoti chegumi ndechapasita.
VaHedeni vanoramba Shoko voridzingira kure kana rikapindira pamari dzavo.
Varume vaviri vechiHedeni vaimiririra chii?
Vanhu vaviri vaizotambira Jesu kana vamwe vaHedeni vese vachimuramba.
Munhu mumwechete aimiririra vatendi vechiHedeni venguva yekereke yekutanga vaizotambira chokwadi chakazara kubva kuna Petro nemapostora. Mumashure maizvozvo maBhishopu kana vanhu vanotungamirira vaizotora kereke imwe neimwe vovarasisa munguva yeRima. Paizoita kudzokedzana zvishoma nezvishoma kwechokwadi munguva yeMutsiridzo zvisinei nekuipa kuzhinji kwaisara mukereke. Pakupedzisira, kumagumo, munguva yekereke yekupedzisira, kwaizoita boka duku revatendi vechiHedeni vanoda kutevera Magwaro zvakazara vodzoserwa kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga.
Izvi zvaimiririrwa nemunhu wechipiri aipenga. Saka nguva yevaHedeni yekupedzisira iri pakaipa zvakare.
Kwaive nemweya yakaipa yakawandisa yaifanira kudzingwa matiri neShoko raMwari.
Tinoonekwa setinopenga nekuda kwekuda kutevera Magwaro zvakazara. “Zvakanyorwa zvichinzi”. Iko kuine vazhinjisa vanenge vachiti, “ndakanzwa zvichinzi.”
Hakuna chiprofita chimwechete kana mufananidzo mumwechete unotaura zvakanaka pamusoro pekereke yekupedzisira.
Saka, tinofanira “kushingaira titendeuke”. Takadzidziswa zvakaipa zvakawandisa nemakereke edu nemapoka emharidzo. Kusaziva kwedu Bhaibheri kwakanyanyisa. Kunzwisisa kwedu mavhesi eBhaibheri akawanda kuduku kwazvo.
Tinoda kugadziriswa zvakanyanya.
ZVAKAZARURWA 3:18 nechizoro chameso, kuti uzore meso ako, uvone.
19 Vose vandinoda ndinovaranga nokuvarova; naizvozvo shingaira utendevuke.
Tinoda kuti meso edu azodzwe nezvizodzo zvameso.
Tinoda kuona zvatinotenda zvichifambirana nekuratidzira Magwaro.
Tinoda maonero matsva ekuti Jesu ndiye Mwari Wamasimbaose uye hakuna umwe munhu anoenzaniswa Naye.
ISAYA 46:5 Muchandifananidza , nokundienzanisa , nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye?
Kana zuva rikabuda, nyeredzi dzinonyangarika. Zuva rinobva ratonga muchadenga.
Munguva yekereke yekupedzisira Jesu akamira kunze kwemukova wekereke imwe neimwe, kusanganisira makereke emharidzo.
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova, ndichigogodza; kana munhu akanzwa inzwi rangu,
Mwari vari kuda kuti tinzwe Izwi ravo, Bhaibheri.
64-0614 BHORA RAKASIYANA
Ndizvo zvandaudzwa neMutumwa, “Ita kuti vanhu vatende.”
Uye kana ndikakuudzai Shoko raMwari, hadisi kuti “Tendai Ini,” asi ndiri kuti “Tendai Shoko.”
63-0630 EKSODO (RWENDO) RWECHITATU
Tererai Bhaibheri, Izwi raMwari riri kukudaidzai nhasi uno.
Izwi raMwari iBhaibheri. Hama Branham ndivo izwi remutumwa wechinomwe.
Izwi remutumwa wechinomwe rakauya kuzozivisa kana kutsanangura Bhaibheri, kwete kuzova Bhaibheri.
Itai kuti kuita uku kuve kwakajeka kana kuti munonyengerwa, O vasikana mapenzi.
Vakaponeswa asi vakananga kunguva yeKutambudzika kukuru.
Hakuna muTestamente Itsva patakavimbiswa Izwi raMwari pakupedzisira. Takavimbiswa izwi remutumwa wechinomwe.
Ndapota zivai izvi.
Nguva imwechete chete apo mapoka maviri evanhu muMagwaro achave panyika ichave mumashure mekumuka kubva kvakafa apo vanhu venguva yekereke yekutanga neMwenga anorarama vachava pamwechete.
Kwete zvakaitika pakamhanya vaHedeni kubva muguta ravo kunosangana naJesu.
Ipapo pakamhanya vanhu vose kunodzinga Shoko, hapana kutaurwa nezvevanhu vaviri vaipenga vaive vashandurwa. Vaive vanyangarika. Izvi mucherechedzo miviri yakashandurwa. Vaive vatotorwa kukwira Kudenga kuChirayiro cheMuchato.
Nguruve dzakamhanyira kwakateremuka kunoparadzwa kwadzo kwadzaizoenda nekukasika.
Nguva yeKutambudzika inorova nyika nekuparadza kunoitika pakarepo.