Mateo 02 - Vazivi vekumabvazuva vanotsvaga Jesu



Piramidhi guru nemapoka enyeredzi zvinobatana kutsanangura nhorondo kubva paKuuya kweKutanga kusvika paKuuya kwechipiri kwaJesu.

First published on the 22nd of October 2022 — Last updated on the 22nd of October 2022

Jesu ndiye Chokwadi. Vazivi vekumabvazuva vakamutsvaga muShoko rakaziviswa

 

Vazivi vekumabvazuva vakatsvaga Jesu makore 2000 akadarika. Nhasi tinofanira kutsvaga Jesu muShoko rakaziviswa.

Munonzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri here pamunoverenga Magwaro, kana kuti munoramba muchifuratira nekutarisira pasi zvikamu nemavhesi emuBhaibheri amusinganzwisisi?

Kutsvaga chokwadi kuno nenderera mberi.

MATEO 2:1 Jesu wakati aberekwa paBhetirehemu reJudhea, pamazuva amambo Herodhe, tarira vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva,

Mhuri yaHerode yakabva kuIdumea, nzvimbo iri kuzasi kweJudea, Joshua haana kusanganisirwa muNyika yechipikirwa.

 

 

Idumea yaive yakatapwa nemaJuda pavakamboti wanei rusununguko kubva kumuGiriki vaitonga Siria, Antiokasi Epifanesi. Vanhu vekuIdumea vakabva vamanikidzwa kutora tsika dzevaJuda. MaJuda aizodemba kudarikira muganhu weNyika yeChipikirwa yavakatarirwa naJushua sezvo Herode aizoberekwa kuvaIdumea, iye akazouya akava mambo ane hutsinye kwazvo.

Baba vaHerode Antipata vakabatsira muRoma Jurio Kesari saka vakawana kudiwa neHushe hweRoma yaive yatapa Israeri mugore 63 BC. Roma yakazogadza Herode samambo wayo muJudea.

Herode aiziva kuti aive asiri mambo akakodzera kuvaJuda. Aive asina kuberekwa murudzi rweropa raDavidi.

Saka aigarofungidzira akatarisa chero mumukiri wechiJuda aizouya achida chigaro chehushe. Nehutsinyehukurusa aive asina tsitsi nechero munhu aiita seanoda kutora chinzvimbo chake chaaive awana zvepanyama.

Vatungamiri vemakereke vanomanikidzira kuchengetedza zvinzvimbo zvavo vanozvityira kwazvo. Vanotsvaga kuparadza vaya vanogona kuturikira Bhaibheri zviri nani kudarika ivo.

Vazivi vekumabvazuva. Vafambi ava vaive vakachenjera kwazvo. Huchenjeri hwavo hwakavaita kuti vatsvage Jesu.

Takachenjera mumaziso maMwari kana tikatsvaga Kristu nechokwadi chake chakadzama chiri muBhaibheri reKing James Vhezheni.

MATEO 2:2 vakati, Uripiko Mambo wavaJudha wakazvarwa? Nokuti takavona nyeredzi yake kumabvazuva, tavuya kuzomunamata.

Baramu, mumazuva aMosesi, a kaita chiprofita ichi.

NUMERI 24:17 Ndinomuona, asi handimuoni zvino; Ndinomuona, asi handimuoneri pedo; Nyeredzi ichabuda kuna Jakobho, Netsvimbo youshe ichabva kuna Isiraeri; Ichabvoora nyika yaMoabhu,

Vachenjeri vekumabvazuva pavakaona nyeredzi yeMweya unoshamisa vakaziva kuti Muponesi aive azvarwa.

MATEO 2:3 Mambo Herode achizvinzwa wakamanikidzwa neJerusarema rose naye.

Herode akatya. Vachenjeri vekumabvazuva vakasvika vachitevera nyeredzi. Nyeredzi yaive yakaprofitwa.

Nyeredzi yaive mucherechedzo wekuti Mambo aive azvarwa. Mambo chaiye aive azvarwa. Mambo asina kugadzwa nevanhu.

Herode aiziva kuti aive mambo wekunyepera nekuti aive agadzwa nevaRoma. Aive angoitawo rombo rakanaka rekuti Jurio Kesari aive aita dambudziko munzira yake yekuenda Egipita baba vaHerode Antipasi vakakwanisa kumubatsira. Antipasi aive akangwarira sezvo akafungidzira kuti Roma ndiyo yaive simba raisimuka raizobata hushe munzvimbo dzemuMiddle East. Fungidziro yake yaive yechokwadi yakazarura mukova wekuti vaite hushamwari hwakasimba uye hwakakosha neRoma. Semwanakomana waAntipasi, Herode akapihwa mubairo wekuva mambo akamiririra Roma. Herode aive nechipo asi aive ane hosha yekutya kutorerwa chigaro namambo chaiye wevaJuda. Aive azvarwa. Herode aiparadza chero munhu aiisa chigaro chake panjodzi.

Uku ndiko kuwira pasi kwehutungamiriri hwevanhu. Kutya munhu akatumwa naMwari anonzwisisa Bhaibheri zviri nani.

Ndicho chimwe chezvikonzero chakaita kuti makereke akasike kuramba Wlliam Branham.

Kuti “Jerusarema yese” ishungurudzwe zvinoreva kuti guta rese raiziva nezvekusvika kwevachenjeri vekumabvazuva. Izvi zvaisazogoneka dai kwaingova nevanhu vatatu chete. Vaisazokwanisa kuonekwa kana kuzivikanwa nezvavo.

Mbavha nemabhanditi vanorwisa vafambi mumigwagwa. Vamwe vanhorondo vaiti zvaida varume vanosvika 150 vane zvombo vanorwa kuti vafambe vari boka kana vaida kutyisa mbavha. Hatizivi kuti vaive vangani, asi vaive vakakwana kuti vafambe zvakachengetedzeka mumugwagwa waive uzere mabhanditi.

Vaive vakakwana kuti vaonekwe pavaizosvika kuguta reJerusarema.

 

Nyeredzi isina umwe akaiona yaive chii? Mweya Mutsvene

 

Nyeredzi. Izvi zvakashamisa vanhu.

Hakuna nyeredzi panyika nedenga rehusiku inofamba kubva kumabvazuva kuenda kumadokero munguva yemakore maviri. Nyeredzi dzinobva kumabvazuva kuenda kumadokero munguva inoita mwedzi mitanhatu dzonyangarika kweimwe mwedzi mitanhatu dziri kusi kwenyika. Padzinoonekwa zvakare, dzinenge dzave kumabvazuva kumashure kwevafambi kwemwedzi inoda kuita mitatu. Dzaizova chete pamberi pevafambi kwemwedzi mitatu dzisati dzanyangarika zvakare. Saka, kana vanhu vakafamba kubva kumabvazuva kuenda kumadokero, chero nyeredzi kana boka renyeredzi raizovatungamirira kwemwedzi mitatu chete.

 

 

Nyeredzi yakanyangarika pavaive vasvika muJerusarema. Hakuna nyeredzi chaiyo inoita izvozvo.

Nyeredzi payakaonekwa zvakare yakavatungamirira kuzasi kuti vaende Beterehema. Hakuna nyeredzi inoenda kuzasi.

Nyeredzi yakaratidza imba (kwete chidyiro). Hakuna nyeredzi, kudenga, inogona kunangana neimba imwechete muguta.

Nyeredzi inoshamisa iyi yakaburuka ikamira paimba iyoyo. Nyeredzi chaidzo dzatinoziva tese hadzidaro.

Saka, chinhu chimwechete kunhau iyi ndechekuziva kuti nyeredzi iyi yaive Mweya Mutsvene unotitungamirira kunotsvaga nekuwana Jesu mumazuva edu.

Kutora mucherechedzo wenyeredzi, Mweya Mutsvene waizviratidza kwavari husiku chete. Izvi zvakaita kuti rwendo rwavo rwuome uye rwutyise. Kufamba husiku chinhu chakaoma.

Chikristu hausi munda wemaruva akanaka Chinoda kushingirira kukuru.

JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;

Mweya Mutsvene ndiwo wega nhungamiri yechokwadi inogona kutiratidza chokwadi.

Mweya Mutsvene unogona kuvhura maziso enyu kuti muone chokwadi cheBhaibheri apo munhu ari pedyo nemi asina chaanenge achiona.

Kugona kwedu kuona chokwadi kunobva pamweya Mutsvene unozodza meso edu emweya nechizodzo chameso.

Kana muchigona kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zeMagwaro chikonzero ndechekuti Mwari akasarudza kuzarura meso enyu. Hakuzi kuziva kwenyu.

Chipo chehuchenjeri hwekugona kunzwisisa Shoko chinopihwa kwatiri neMweya Mutsvene.

I VAKORINTE 12:7 Asi mumwe nomumwe unopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe.

8 Nokuti mumwe unopiwa noMweya shoko rovuchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya iwoyu;

Varume vakachenjera vaive vasingazivi kuti vaiendepi. Vaitevera nyeredzi nekutenda chete.

 

Zvematongerwo enyika nezvechitendero zvakabatana, asi hazvina kubvira zvatsvaga Kristu

 

MATEO 2:4 Akakokera vaPirisita vakuru vose navanyori vavanhu, akabvunza kuti Kristu uchaberekwepi.

Kuuya Kwekutanga kwaJesu kwakabva pakubatana kwevakuru vechitendero chemaJuda nevatungamiri vezvematongerwo enyika. Vaitya kurasikirwa nezvinzvimbo zvavo nepfuma yavakazviunganidzira nehuwori panosvika Messiasi. Vatungamiri vezvitendero namambo vaisada Messiasi. Vaizoda kumuuraya nekukasika.

Uku kwaive kuratidzirwa kweZvisimbiso zvina zvekutanga kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.

Bhiza jena rehunyengeri hwezvitendero nebhiza dzvuku resimba rezvematongerwo enyika kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 achaonekwa Kuuya kwaJesu Kristu kweChipiri kwava pedyo. Bhiza dema reMari huru nemadhimoni rakasanganisa kereke kuiita bhiza rakacheneruka musanganiswa werudo rwemari nekuzviunganidzira pfuma kuri mumakereke nhasi.

Pope ari munezvematongerwo enyika zvakanyanya. Zvimwechete nevatungamiri vemakereke anopikisa chiCatholic. Makereke ave bhizimisi guru.

MATEO 2:5 Vakati kwaari, paBeterehema reJudhea, nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi,

Vatungamiri vezvitendero vaiziva mhinduro. Asi ivo pachavo havana kubvira vasvika Beterehema.

MATEO 2:6 Newe Betirehemu, nyika yeJudhea, Hauzi muduku kwazvo kuvabati vaJuda, Nokuti kwauri kuchabuda Mutungamiriri, Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri.

Ichi chaive chiprofita chavaiverenga.

MIKA 5:2 Asi iwe Beterehemu Efurata, muduku kwazvo pakati pezvuru zvamazana zvaJuda, kwauri kuchandibudira mumwe achava mubati pakati paIsiraeri; mabudiro ake ndaakare, pamazuva akarekare.

Kuziva kuti Messiasi achauya kubva Beterehema, nei vatungamiri vezvitendero vaive vasiko?

Mhinduro yaive nyore. Vanhu vaitsinhanha mari muTembere vaiita mari zhinji vachishandira vatungamiri vezvitendero. Rudzi rwemari yakadaro yaive isiko kuBeterehema kwaive kusina Tembere. Kana waida kupfuma, waifanira kuva uri kumuzinda weTembere kuti utore chikamu chako chepfuma yaiwanikwa nenzira yakaipa iyi.

MATEO 2:7 Zvino Herode wakadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakavonekwa nyeredzi nayo,

Herode aiziva kuti aive nehupikisi hwaida kubviswa. Zvisinei nekuti Messiasi aive akura sei, Herode aizouraya vanakomana vose vechiJuda vezera iroro nevaduku kuti ave nechokwadi chekuti auraya Messiasi.

Herode akabva aita musangano muchivande nevazivi vekumabvazuva. Aida kuziva kuti nyeredzi yaive yave nenguva yakadii yaonekwa. Aida kuziva kuti vaive vatanga kuitevera riini. Izvi zvaizomupa gwara rekuziva zera raMessiasi. Izvi zvaizomuudza kuti vana vaifanira kufa vaive vapi.

MATEO 2:8 akavatuma Betirehema, akati Endai munatso-bvunzisisa zvomwana, kana mamuwana mundivudze, kuti nenivo ndivuye kuzomunamata.

Herode aive mutongi aida kuti mwana uyu awanikwe. Asi apa ndipo paive nekunyengera kwese. Kunyepedzera kuda kunamata Jesu, aizoita zvese zvaaikwanisa kuti aparadze Jesu.

Vatungamiri vezvitendero nhasi vanoturikira zvakare Bhaibheri kuti rifambirane nezvido zvavo. Vakazvidza Bhaibheri zvakanyanya zvekuti chero maKristu akazvipira akatenda kuti hakuna Bhaibheri rakarurama. Nemavhezheni anodarika zana emaBhaibheri echirungu ekusarudza kubva kwaari, vanhu vanotenda kuti maBhaibheri ese ane chakakanganiswa maari uye kuti hakuna vhezheni reBhaibheri rinogona kuva Mukuru. Saka, vachiti vari kunamata Mwari, vatungamiri vemakereke vari kuparadza kutenda kwevanhu muBhaibheri reKing James vhezheni. MaKristu mashoma kwazvo vasara nhasi vachiri kutenda kuti ndiro Mukuru.

MATEO 2:9 Vakati vanzwa mambo, vakaenda, zvino tarira nyeredzi yavakanga vavona kumabvazuva yakavatungamirira kusvikira yandomira pamusoro peimba pakanga panomwana.

Nyeredzi mucherechedzo wemutumwa akazadzwa neMweya Mutsvene akauya kunguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia. Nguva iyo vanhu muRaodikia vanonyora mabhaibheri avo vozviitira zvitendero zvavo zvinovaitira. Vakugamuchira kubvisa mimba nekodzero dzengochani. Vanotenda kuti vanokwanisa kuturikira Kutinhira kunomwe kusina kunyorwa. Vanotenda kuti Zvisimbiso zvinomwe zvakazarurwa zvisina kutanga zvaziviswa.

AMOSI 3:7 Zvirokwazvo, Ishe JEHOVA haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.

Mwari aisazozarura Zvisimbiso kusvikira Mutumwa wekupedzisira azvizivisa.

Zvisimbiso zvakazarurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 mumashure mekunge Mwenga atorwa kukwira kudenga kuna Zvakazarurwa Chitsauko 4.

Saka, munguva ino isina kugadzikika izere matambudziko yekodzero dzevanhu dzinovagonesa kutenda zvavanoda, Mwari anotumira nyeredzi kana nhume kuti ititungamirire kudzokera kuBhaibheri reKing James Vhezheni, rinova Kristu.

Jesu ndiye Shoko.

Shoko rechokwadi rakanyorwa muTestamente Itsva nemapostora. Saka Mutumwa wenguva yekupedzisira anofanira kutitungamirira kudzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga. Anofanira kutidzorera isu vana venguva dzekupedzisira kudzidziso dzemapostora madzibaba edu.

Kukanganisa kwakaitwa nevachenjeri vekumabvazuva kwaive kutsvaga muzinda kana kuti hedhi kotazi yeTembere yemaJuda muJerusarema nekufunga kuti vatungamiri vezvitendero vaizonzwisisa chokwadi pamusoro pezano raMwari kuzuva ravo.

“Hedhi kotazi” zvinoreva kuti kota yemisoro yavo chete ndiyo yaishanda.

Saka, vaparidzi vemharidzo vakazadzwa nekuedza kuturikira zvakataurwa, zvakafanana nekuti Hillary aizokurira musarudzo dzemutungamiri wenyika yeAmerica muna 2016, zvikaratidza kuti, havagoni kuturikira Bhaibheri.

Saka, vachenjeri vekumabvazuva vakaita chinhu chakanaka nepavaigona napo. Vakabva mukereke nemuvanhu vaitungamirira nekuturikira kwevanhu. Rwendo rwekubuda muzvimisikidzo zvemakereke.

ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.

Koita nyeredzi, mutumwa wenguva yekupedzisira, inovatungamirira muShoko raMwari pavanodzidza kuronda zvaakataura mumavhesi emuBhaibheri. Vanobva vatenda nekuti Bhaibheri rakataura kudaro, kwete nekuti nyeredzi kana kuti mutumwa akataura kudaro.

KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9 NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA

... nokuti muprofita wechokwadi anotungamirira vanhu kuShoko ovasungirira pana Jesu Kristu uye haaudzi vanhu kuti vamutye kana kutya zvaanotaura, asi vatye Shoko nezvarinoreva.

62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA.2

Zvino, ndicho chikonzero nei tiine zvese zvatiinazvo. Zvino, zvinhu izvi zvese zvandareva, kana zvisingafambirane neBhaibheri, kana kureva zvakafanana neShoko raMwari, zvakaipa, zvakaipa.

64-0823 MUBVUNZO NEMHINDURO. 1

Asi vaya vanogona kugamuchira Shoko mukuzara kwaro, kwete ini ndichiparidza, nekuti iBhaibheri rinodaro. Vaya vanogamuchira izvi vakasunungurwa nekuti --- Shoko rakatongwa kare.

Kusiya guta rakazara vanhu nevatungamiri vezvitendero zvaro kwakagonesa vachenjeri kutanga kunzwisisa zvakaurwa muzvikamu zvemavhesi eBhaibheri. Kutsigira chimwe chinhu kubva muMagwaro kunotiita kuti tifare. Kusimudzwa kwezaruriro yeMagwaro.

MATEO 2:10 Vakati vavona nyeredzi vakafara nomufaro mukuru-kuru.

Kuzadziswa kwehushumiri hwenyeredzi kana mutumwa kwaive kwekuunza vachenjeri kuShoko raMwari.

Vachenjeri vakafara nekuti nyeredzi yakavagonesa kunzwisisa Shoko raMwari.

Vakafara sei kuona kuti mharidzo yaWilliam Branham yaifambirana neMagwaro uye kuti inogona kutsigirwa neMagwaro.

63-0323 CHISIMBISO CHECHITANHATU

Tava pedo kwazvo kuti tiite chero chinhu, hurema kana kufungira, kana kutenda zvepamusoro. Ndinofanira kutanga ndaona. Kana ndikaona, zvinofanira kuva mushoko zvakare. Parizvino, nenyasha dzaMwari, nenzira yakanakisa ... ndakazvitora kubva ikoko; munozviziva; zviri kufambirana zvakanakisa.

Zvinofanira kuva, ZVANZI NAJEHOVA, ‘nekuti hazvisi kungonzi zviri kubva kwandiri nekuziva kwangu, asi Shoko raMwari ndiro rinoti ZVANZI NAJEHOVA. Shoko rotora zvaakandipa rozvibatanidza pamwechete rokuratidzai, kuti muzvizivire kuti ZVANZI NAJEHOVA. Mazviona?

Kutevera mutumwa nyeredzi kwakavasvitsa kuna Jesu, Shoko raMwari.

MATEO 2:11 Vakapinda mumba, vakawanaMwana naMaria mai vake, vakawira pasi vakamunamata, vakasunungura fuma yavo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira nemura.

Vakapinda mumba, kwete muchidyiro.

Vakaona Mwana muduku, kwete rusvava.

Josefa aive asipo.

Vakanamata Jesu. Vaive vakachenjera kusvika pakuziva kuti Mwana uyu ndiye aive Mwari paNyama.

Jesu aive asvika pakugona kuziva kuti aive achinamatwa.

ISAYA 9:6 Nokuti takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo huchava pafudzi rake; zita rake richanzi, "Anoshamisa, Gota, Mwari ane simba, Baba vokusingaperi, Muchinda worugare."

 

Zvipo zvenyu zvinoratidza Jesu kuti munofunga kuti ndiye ani

 

Vaive vasiri vachenjeri vatatu chete.

Asi vakapa zvipo zvitatu.

Zvipo zvavo zvakamuratidza kuti vaifunga kuti Aive Ani.

Ndarama mucherechedzo waMwari. Vaifunga kuti aive Emanuere, Mwari Anesu ari Munhu pakati pevanhu. Hama Mudzikinuri.

Zvinonhuwira mushonga wakaoma unotorwa pamakwati emuti panobuda hunyoro hwese huri mvura hwooma.

Jesu aizorohwa kusvikira Ropa rake risina zvivi rabuda nepamaronda.

Zvipiriso zvenyama yakatsva zvinonhuwa. Ukaisa zvinonhuwira kumoto zvinokonzeresa munhuwi wakanaka unonhuwirira. Izvi zvinoita kuti chipiriso chitambirike.

Jesu aive Mwari panyama. Kuzara kwehuMwari kwakagara muMunhu.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Munhu aive kunze aive Mwanakomana waMwari. Mweya unoshamisa waive maari waive Mwari Baba.

Munhu Jesu, aive asina zvivi, aifanira kuita chipiriso chinotambirika kuti rudzi rwevanhu rwudzikinurwe.

VAEFESO 5:2 fambai murudo, Kristu sezvaakakudai vo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuwira.

Aifanira kufa pachinzvimbo chedu kuti aripire zvivi zvedu.

Mura waive muti wavaishandisa kuzodza zvitunha kuti kana zvaora zvisanyanye kunzwika kunhuwa.

Zvatinopa kuna Jesu zvinomuratidza kuti tinofunga kuti ndiyani.

Anoda kuti timupe tariro yedu yese uye titerere Shoko rake zvakazara.

Anoda kuti tizvipire kuda kwedu Kwaari kuti atonge zviito zvedu nendangariro dzedu.

Tinofanira kudzidza kunamata sezvakaita Jesu muGetsimani, kwete nekuda kwekuda kwedu asi Kuda kwaMwari.

MATEO 26:39 Akapfuvura mberi zvishomanene, akawira pasi nechiso chake, akanyengetera achiti, Baba vangu kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuvure kwandiri. Kunyangwe zvakadaro kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.

 

Mumashure mekusangana naJesu vakafamba nenzira yakasiyana neyavaimbofamba. vakashanduka

 

Tinodzokera kuvachenjeri vakayambirwa kutiza Herode.

MATEO 2:12 Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kunaHerode, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.

Mwari akataura nevachenjeri kuhope varere.

Vaive vasangana naJesu hupenyu hwavo hwaizoshanduka.

Vakatevera nzira imwe kuti vamuwane asi vakati vamuwana kubva ipapo vaizofamba nenzira yakasiyana. Vaisazodzokera kunzira dzekare dzavakambofamba.

Jesu anoshandura hupenyu hwevanhu.

Kana mukangogamuchira Jesu saIshe naMuponesi wenyu, munoona kuti munofamba nenzira yakasiyana.

MATEO 2:13 Vakati vaenda, tarira mutumwa waShe wakavonekwa naJosefa pakurota achiti, Simuka utore mwana namai vake, utizire Egipiti ugareko kusvikira ndichikuvudza, nokuti Herodhe uchatsvaka mwana kuti amuvuraye.

Mwari ane nzira kana nzvimbo dzekuchengetedza chokwadi chake.

Vanhu veRoman Catholic pavaiuraya vemakereke anopikisa muEurope, Mwari akavatungamirira kuenda Pabwe rePlymouth muMassachusetsi muAmerica. Ikoko vakawana rusununguko. Hakuna Pope kana mambo weChirungu akagona kuvarwisa kana kuvauraya.

MATEO 2:14 Akasimuka, akatora mwananamai vake vusiku akaenda Egipiti.

Zvaive zvakaipa kufamba nehusiku. Asi zvaive zvakaipisisa kugara.

 

Chikristu hachisi chembwende. Chokwadi chinofambidzana nezvinhu zvinorema nekutyisa.

 

Kune hondo yemweya iri kuitika kana mukagamuchira Jesu munova muvengi waSatani akanyorwa pamhanza.

Egipita mucherechedzo wezvemunyika.

Saka, Jesu akaita hwana hudiki hwake hwese ari muzviitiko zvenyika asi akaita kuti hwaro hwake hurambe huri pamusoro soro.

Jogirafu yakashanduka apo Mwari akatuka nyika nekuda kwekutadza kwaAdamu.

 

Asi zvinoita sekuti Edeni yekutanga ndiyo yava Egipita

 

65-0829 EDENI RASATANI

Pakupedzisira, paakanga agadzirisa zvese, takaguma isu ... akapedzisira asvika pamuzinda, wenyika, panzvimbo yakanaka iri kumabvazuva eEdeni, inonzi munda weEdeni. Mwari akaita muzinda weNyika mumunda weEdeni, muEgipita, kurutivi rwemapeto emunda rwekumabvazuva ndiko kwaive nemuzinda kana hedhikota.

Vhesi reBhaibheri rinotevera rinoyananisa Egipita nemunda waShe, waive Edeni.

GENESISI 13:10 Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti raka­nga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJEHOVA, senyika yeEgipiti, kana munhu achienda Zoari.

Saka, kana Edeni raive muEgipita zvinoreva kuti zvinhu zvese zvakatangira ikoko.

Jesu akadzokera kunzvimbo yakatangira zvivi kuti atangireko hupenyu hwake hwaive hwakanangana nekurwisa nekukurira rufu.

Kwaivewo nekupupura kuna Jesu muEgipita mupiramidhi guru.

Pamatani anoda kuita miriyoni rimwechete, ndicho chimisikidzo chakaitwa nemunhu chinoremesesa (kana tikafuratira masvingo makuru eChina.)

Harina musoro wekona.

Piramidhi, nemusoro wakashama, rakamirira musoro mucherechedzo wekereke kana Mwenga waJesu akamirira Kuuya kwake kwechipiri.

 

 

Piramidhi guru ndiro rega piramidhi rine makamuri mukati.

Kamuri tsvuku pamufananidzo uyu, inodaidzwa kuti Imba yaMambo, ine guva risina chinhu.

Guva risina chinhu zvakare mucherechedzo wekuuya kwaJesu kweKutanga.

Muruvara rwedenga muri kuonekwa Kamuri Huru ine zvidanho zvinomwe zvakaitwa nemabwe akatsetseka akabatanidzwa.

Saka piramidhi guru rinopupura kunguva nomwe dzemakereke uko vatendi vose veTestamente Itsva vachagara mumashure mekumuka kwaJesu.

Isaya anotaura pamusoro pezvapupu, aritari neshongwe zviri muEgipita. Pakati nepamuganhu.

Ruvara rwedenga pamepu yeEgipita iyi rwakamiririra Gungwa reMediterranean.

 

 

Piramidhi guru (sikweya yepingi) riri munzvimbo yeGaza muguta reCairo.

Egipita yezasi ndiyo Nairi Deruta inoita aki yakagonya (inoratidzwa muruvara rutsvuku) painosangana neGungwa reMediterranean. Piramidhi guru rakavakwa pakati pedenderedzwa rinoita aki iyi.

Piramidhi guru, nekuti ndipo pakatangira Nairi Deruta, riri pamuganhu weDeruta (Egipita yezasi inoratidzwa nemutsetse mutsvuku) dzimwe nzvimbo dzeEgipita dzese dzinozivikanwa nekunzi Egipita yekumusoro.

ISAYA 19:19 Nezuva iro pakati penyika yeEgipiti pachava nearitari kuna JEHOVA, nembiru pamuganho waro kuna JEHOVA.

ISAYA 19:20 Zvichava chiratidzo nechapupu chaJehovha wehondo panyika yeIjipiti; nokuti vachadanidzira kuna JEHOVA nemhaka yavamanikidzi, achavatumira muponesi nomurwiri, iye achavaponesa.

Mosesi akauya kuzotora maJuda kuti abude muvadzvanyiriri vavo vekuEgipita.

Jesu, mukuru kuna Mosesi, akauya kuzoponesa isu kubva kuhudzvanyiriri hwezvivi nekusatenda.

Zvinogona kuutaurwa zvichinzi piramidhi guru, rakavakwa naEnoki munguva inosvika makore 2000 akadarika, raive chapupu chakatendeka cheKuuya kweKutanga neKuuya kwechipiri kwaJesu.

Jesu akabva auya kwaive nepiramidhi paakaenda kuEgipita.

Izvi mucherechedzo wekuti vaya vakaramba vakatendeka kuShoko raMwari vanofanira kuchengetedza mweya yavo mukutsunga. Merimwe zuva Jesu achauya ovatora kuenda navo kumakore.

Piramidhi guru iEvangeri mumabwe.

 

Zodiaki iEvangeri munzvimbo dzemuchadenga

 

Zviratidzo zvezodiaki hazvina chekuita mekushopera uye kutsanangurwa kunoitwa nanachin’anga. Uku kuraswa kweChokwadi.

Zviratidzo gumi nezviviri zvenyeredzi dzedu nachin’anga zvinotiudza nhorondo yaJesu nekereke. Kubva paKuuya kwake Kwekutanga achiberekwa nemhandara kusvika paKuuya kweChipiri ari Shumba yeRudzi rwaJuda.

53-0403 KUIPA KWEZVIVI NEMURANGO WEKUBVISA ZVIVI KUBVA PAHUPENYU HWEDU

Bhaibheri rekutanga rakanyorwa, rakanyorwa mumatenga, zodiaki. Rakatanga nemhandara ndiko kwakava Kuuya kwake Kwekutanga. Rikaguma neRio Shumba, Kuuya kwechipiri. Ari kunyora Bhaibheri rake rekutanga.

Bhaibheri rechipiri rakanyorwa, rakanyorwa naEnoki, akariisa mupiramidhi.

Bhaibheri retatu rakanyorwa, uye rekupedzisira, ndiro Rinoiri.

Evangeri munzvimbo dzemuchadenga muzviratidzo gumi nezviviri zvezodiaki.

Mapoka gumi enyeredzi anoita chidziro chezvinotsigira zuva parinofamba muchadenga.

Vanodzidza zvemuchadenga vakashandisa zviratidzo zvezodiaki izvi kuedza kuzviita nyanzvi dzekugona kuziva ramangwana revanhu.

Asi, havazivi kuti chiratidzo chipi chinotanga zodiaki.

 

 

Zviratidzo izvi zvinoita yanano inotenderera yakavharika zvekuti hakuna anogona kufungidzira kuti chiratidzo chekutanga ndechipi.

Asi, makore 2000 ega ega chiratidzo chenguva yepfumvudza chinoshanduka.

Iri iboka rinoonekwa kumabvazuva, zuva risati rabuda musi wa 21 Kurume.

Makore 4000 akadarika Babironi, chiratidzo chenguva yepfumvudza chaive Arisi Nhongo. Rinova richiri kushandiswa nevanodzidza zvemuchadenga. Asi takatarisa mazuva ekuti husiku nemasikati zvakaenzana (kureva kwekuti nyika inenge ichifamba nemutizo usina kugadzikika nekuda kwekudhonza kwemapuraneti) chiratidzo chenguva yepfumvudza chakafamba kuenda paAkweriyasi mudziyo wekutakurisa mvura uri kurasa mvura. Saka zviratidzo zvese hazvisi kufambirana nezvinotarisirwa nevanoita nezvemuchadenga.

Asi Enoki aizotisiya nekiyi yetsoro iyi paaivaka mapiramidhi matatu paGize mucherechedzo wemichinjikwa mitatu paCalvari.

Enoki akagadzira chifananidzo cheSifinikisi parutivi pepiramidhi. Ndicho chimisikidzo chakakurisa chakaitwa nemaoko evanhu chinoratidzira nhorondo hurusa.

Chakabata chakavanzika chepakatangira zodiaki.

Musoro wemukadzi, nekuti hauna ndebvu nemuviri weshumba.

 

 

Mukadzi iVirgo, mhandara. Jesu akauya ari Mwanakomana wemhandara. Kuuya kwake kweKutanga.

Tikatenderera zodiaki, chiratidzo chekupedzisira iRio shumba. Jesu achadzoka paKuuya kwake kweChipiri ari Shumba yeRudzi rwaJuda.

MAPISAREMA 19:1 Kudenga denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; vuye denga rinoratidza mabasa amaoko ake.

4 ... Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.

5 Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.

 

 

Zuva rinofamba mukati mezviratidzo zvese zvezodiaki zviri gumi nezviviri mucherechedzo weMunhu akasimba Jesu akakurira rufu akapinda mukati menguva nomwe dzemakereke kunotora Mwenga wake imomo.

Jesu ndiye chikomba ari kutsvaga Mwenga.

Izwi rekuti “Zodiaki” kuvanhu vekuBabironi rinoreva kuti “denderedzwa rezvinhu zvinorarama.”

Asi dambudziko ravo raive rezvikero, Ribhura.

Izvi zvakaonekwa sezvikero zviviri zvaive zvipani zvaiedza kuenzaniswa.

Asi chipani chechikero chaive chisiri chinhu chinorarama.

Saka, chiprista chekuBabironi chaive kuropodza kwega kwega. Havana kubvira vagadzirisa dambudziko iri.

Sifinikisi yaEnoki yainongedzera pamavambo eZodiaki, kuberekwa kwaJesu nemhandara.

Jesu seMwanakomana waMwari akaberekwa nemhandara ari kutsvaga mwenga.

Chiratidzo chinotevera, Ribhura zvikero, chichatsanangura maJuda achipima nekusarudza kuti vanoda ani. Baraba munhu werufu nekuti aive mhondi kana kuti Jesu Munhu weHupenyu.

Nekuti vaive vanhu. Vakasarudza rufu.

Chiratidzo chakatevera chaive Sikopiyo, chirize nekuruma kwacho kwekuuraya.

Izvi zvese zvakaparadzwa paCalvari apo Jesu akakurira rufu, gehena neguva.

I VAKORINTE 15:55 Iwe rufu rumborera rwako ruripiko? Iwe bwiro kukunda kwako kuripiko?

Rumborera rwerufu rwakarasika paCalvari. Vatadzi vakatendeuka vakukwanisa kufa vasina zvivi vopunyuka kubva kumoto wegehena.

Chiratidzo chakatevera murume weVuta, Sagitariyasi.

Mweya waantikristu wechisimbiso chekutanga chekuna Zvakazarurwa Chitsauko 6 chemunhu wevuta aive nevuta asina museve. Izvi zvinotaura pamusoro pehunyengeri. Anotasva bhiza rine simba kwazvo retsika dzeRoma yechipegani dzakamedza zvakavanzika zveBabironi apo Jurio Kesari akaita mudzvanyiriri uye Pontiffi. Hushe hweRoma yechipegani pahwakaparara mweya waantikristu wakamuka wava sangano rine simba kwazvo reRoman Catholic bhiza remasangano rine simba riripo kutapa makereke. Bhiza jena rinotaura pamusoro pehunyengeri hwemuchitendero. Kupfeka korona kwakaitwa nemaPope kwemakore 1100 kubva pana Pope Nicholas makore akapoteredza AD 860 kusvika pakazosiiwa korona yemitumbi mitatu naPope Paul 6 muna 1963.

Mugore 1963 Hama Branham vakazivisa Zvisimbiso zvitanhatu zveZvisimbiso zvinomwe chiedza cheBhaibheri chakajeka ichi chakauraya Pope neaive mutungamiri wenyika yeAmerica Kennedy. Pope Paul 6 aive mutsva akaona chiedza chakakwana kusvika pakubvisa korona yemitumbi mitatu usimo muBhaibheri.

Chiratidzo chinotevera imbudzi inotungamirira hwai kunouraiwa. Vanhu vanotungamirira vakasimuka vari mabhishopu vakaita misoro yemakereke vakatonga masangano, mapoka. Mwari akazvivenga. Mumashure merumutsiridzo, vakatanga kudaidzwa kuti vafundisi kana mapasita. Kukanganisa kumwechete, kuri pasi pehutungamiriri hutsva.

Hove dzinomiririra kereke yakarovererwa ikasairirwa kubva painoonekwa kuenda pasi pemvura muNguva dzeRima.

Mbudzi yaive Luther achitungana misoro nekereke yeRoman Catholic iye achiti tinoponeswa nekutenda.

Nzombe ndiyo yaive kurudziro yaWesley yakasimba yehutsvene nekuparidzira apo rudo pakati pehama rwakatanga nguva huru yemamishinari.

Raodikia inobereka mapatya. Rumutsiridzo rwePentakositi rwezvipo zveMweya nezaruriro yehama Branham, yezvakavanzika zveMagwaro.

Gakanje rine tsono mbiri pamuromo waro dzekubata Mweya neChokwadi. Rinogara panyika nemumvura, pachamira Mutumwa Mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 achimutsa vakafa. Gakanje rinofamba nemativi zvekuti rinopoya nepamukova wakupfigirwa vasikana mapenzi, sezvo vakamirira kunopinda munguva yemakore matatu nehafu eKutambidzika kukuru.

Vakapesana nechii? Kuuya kwaJesu kwechipiri kwaShe ari Shumba yeRudzi rwaJuda.

Nyeredzi munzvimbo dzedenga nepiramidhi mumabwe zvinotiudza nyaya yeEvangeri nenguva nomwe dzemakereke.

 

Zvakaprofitwa zvinogona kuva nokuzadziswa kukuru

 

Todzokera kuna Josefa kuEgipita.

MATEO 2:15 Akagarako kusvikira Herodhe afa, kuti zviitike zvakarebwa naShe nomuromo womuporofita achiti, Ndakadana mwanakomana wangu abve Egipiti.

Josefa aingokwanisa kumirira chete.

Mwari ega aiziva paizofanira nguva kuti adzokere kuIsraeri.

Hatifaniri kuedza kumhanyira Mwari mberi kwake.

Chiprofita ichi chakazadziswa kaviri.

Rudzi rweIsraeri rwakabuda kuEgipita sekuti rudzi rwese rwaive mwana waMwari umwechete. Urwu rwaive rwendo rweeksodo rwekutanga apo maJuda akabuda muEgipita.

Jesu, seMwanakomana waMwari, akabudawo muEgipita. Rwendo rwepiri apo kereke yakabuda muchiJuda nekuzadzwa kwacho nezvenyika muzviito zvemitemo zvavanokoshesa zvisina basa, kuzvisanganisira munezvematongerwo enyika, nekuzviunganidzira pfuma inouya nehutsotsi.

MATEO 2:16 Zvino Herode wakati avona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo-kwazvo, akatuma vanhu kundovuraya vana vavakomana vose vaiva muBhetirehemu napanyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.

Herode akatsamwa neshungu. Vachenjeri vaive vafamba kwemakore maviri. Aive abata mazwi avo zvakanakisisa. Saka, kuti ave nechokwadi chekuti auraya Messiasi, akauraya vana vose vaive nemakore maviri nevaduku kwavari. Sevanhu, hatigoni kunzwisisa Kuda kwaMwari. Vamwe vanofanira kufa vamwe vachirarama.

Asi mumashure mehupenyu huno kune hupenyu husingagumi kuvatendi.

Hazvizovi nemusiyano kuti hupenyu hwedu kurutivi rwuno hwaive hwakareba here kana kuti huri hupfupi.

Chichatariswa chete ndechekuti takateerera Mwari here kana kuti kwete.

Vaya vakafira Mwari vachakohwa goho guru kune rumwe rutivi rwehupenyu.

ZVAKAZARURWA 2:13 Ndinoziva mabasa ako vuye kuti, paunogara, ndipo pane chigaro chovushe chaSatani; wakabatisisa zita rangu, ukasaramba kutenda kwangu, kunyange napamazuva aAntipasi, chapupu changu, munhu wangu wakatendeka, wakavurawa pakati penyu, apo panogara Satani.

Munhorondo hamuna zvinyorwa zvaAntipas kunze kwekuti Mwari akaisa zita rake muBhaibheri.

Munhu akaurayirwa Shoko raMwari. Izvi zvinosuwisa. Asi kukudzwa kwakadii kunyorwa muBhaibheri.

Antipasi akakasika kufa asi tichamuyemura nekusingaperi. Haadembi nerufu rwake.

Kufira Mwari, zvisinei nekusuwisa kwazvinoita rufu irworwo rukuru.

FIRIPO 1:21 Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, kufa kufuma.

 

Pakauya Kristu, Satani akauraya vana vaduku

 

MATEO 2:17 Zvikaitika zvakarebwa nomuporofita Jeremia achiti.

JEREMIA 31:15 Zvanzi naJEHOVA, "Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.

Tarirai kamusiyano kari pakati pekunyorwa kweTestamente Yekare muchiHeberu nekunyorwa kweTestamente Itsva muchiGiriki.

MATEO 2:18 Inzwi rakanzwika muRama, rokuchema nokurira kukuru, Rakeri achichema vana vake, asingadi kunyaradzwa nokuti havachipo.

Rakeri akafa achizvara Benjamini.

Rama raive guta raive munyika yaBenjamini uko kuuraya kwakaita Herode vana vakomana kwaityisa kwazvo. Zvakadaro, Rakeri aive mai vaBenjamini saka aive mai vevana vese verudzi rwaBenjamini.

Rakeri aiziva zvazvaive kufa ari muduku.

Kusvika kwaMessiasi aive Hupenyu kwakatsamwisa nekugumbura Diaborosi anova Rufu.

Herode, mambo wenhema akagadzwa nevanhu, nekupererwa akauraya vanakomana kuti abvise Jesu aive Mambo wechokwadi.

Patinosvika paKuuya kwechipiri kwaJesu, tinoona vana vanodarika 50 miriyoni vasati vazvarwa vachiuraiwa gore rega rega, pasi rese kupfurikidza kubvisa mimba kwakatenderwa nehurumende. Zvakare Satani ari kukurudzira kuurayiwa kwevana vaduku.

Kuuraya vana chiratidzo cheEksodo yechitatu. Kubuda mukereke kudzokera kunotenda zvakatendwa pakutanga nemapostora ekutanga vakanyora Testamente Itsva.

Eksodo yekutanga yakaona maJuda achibuda muEgipita. Farao akavaudza kuti vauraye vana vese vekutanga vechikomana mumhuri dzechiJuda.

Eksodo yechipiri yakaona kereke ichibuda muchiJuda. Herode akavaudza kuti vauraye vanakomana vose vechiJuda. Rufu rwakaparadza vana.

Eksodo yechitatu ndeyekuti vana vadzokere kunotenda zvakatendwa nemadzibaba mapositora paTestamente Itsva.

Mapasita anoti mune zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James Vhezheni. Saka harisisiri Mukuru wavo. Mapasita emharidzo anotsiva Magwaro nezvakataurwa vachiti hama Branham ndivo vasingatadzi uye Mukuru, zvisinei nekukanganisa kwavakaita mune dzimwe nzvimbo.

Kereke yanhasi inopikisa kudzokera kuKing James Vhezheni reBhaibheri risingatadzi vachida zvitendero zvavo zvisimo muMagwaro zvinotungamirira maKristu enguva yekupedzisira kunopinda mundufu dzavo mumakore matatu nehafu enguva yeKutambudzika kukuru.

MaKristu enguva ino yekupedzisira ndivo vana vanovimba nemapasita kuti avadzorere kune zvakatendwa nekereke yekutanga. Asi mapasita aya haasi kugona kuita izvi ndicho chikonzero tiine ndudzi dzemakereke akasiyana siyana dzinodarika 45,000 nhasi. Saka vana vaduku pamweya, vasikana mapenzi vakaponeswa, vachaparadzwa nekukasika munguva yeKutambudzika kukuru apo chikara chichasunungurwa chichiuya nehondo dzacho dzese.

MATEO 2:19 Herode wakati afa, tarira mutumwa waShe akavonekwa naJosefa pakurota paEgipiti,

Mwari akashandisa zviroto kutaura naJosefa. Josefa chaaifanira kuita kwaive kumirira Mwari kuti Mwari amuudzi kuti yaive yava nguva yekutanga kufamba.

Tinogona kudzidza chidzidzo chikuru kwazvo kubva pane izvi.

MATEO 2:20 Akati simuka utore mwana namai vake, uende kunyika yavaIsraeri nokuti vaitsvaka kuvuraya mwana vafa.

Vavengi vane simba kwazvo vanopikisa chokwadi. Asi Mwari anoziva kuti ovanza sei vanhu vake kusvikira rufu rwabvisa vavengi vavo. Ipapo chokwadi chinoenderera mberi.

 

Kurwisa kwaSatani kukuru kunomisa zano raMwari kwenguva duku

 

MATEO 2:21 Akasimuka ndokutora mwana namai vake akasvika kunyika yavaIsraeri.

Saka Jesu, nekuti aifanira kutiza kubva kuIsraeri achiri mwana ane makore maviri, akazodzoka ava mukomana wechidiki.

Hutsinye hwekuuraya kwaHerode hwaive hwakonzeresa kutambura kukuru asi aive asina kukunda pakuuraya Jesu.

Mwanakomana waHerode aive nehutsinye akatonga Juda zvakamanikidza Josefa kutamira kuMusoro kuNazareta muGarirea.

Iyi ndiyo nzvimbo yaizokurira Jesu kuita murume mukuru.

Saka hakuna chero nzira yaHerode yekuuraya, dzese dzairatidzika kuipa pamberi pedu, yakagona kuparadza zano guru raMwari.

 

Kumanikidza Josefa kutamira kuNazareta, muchokwadi, kwakagonera zano raMwari. Nemamwe mazwi, chero Diaborosi, asingatodi, akaguma akuteerera Mwari. Asi Satani haana chaanopihwa nekuita uku.

Nekudaro, hatifaniri, kutya kurwisa kwaSatani. Mwari anoisira zvakaipa zvinogona kuitwa naSatani muganhu nenzira imwe inoshandiswa nemahombekombe egungwa kuisira mvura dzegungwa muganhu.

MATEO 2:22 Asi wakati achinzwa kuti Arkerao wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhe akatya kuendako, akanyeverwa pakurota, akaenda kumativi enyika yeGarirea.

Garirea yaive nzvimbo yaive kumusoro kwenyika yeIsraeri pedyo negungwa reGarirea.

 

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23