Marko Chitsauko 01:1-12 – Muranda akazvideredza
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Jesu ndiye Muranda mukuru, Nzombe ine simba kwazvo. Mutakuri wemitoro yedu Iyo, sembudzi yekurasirira, akatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure.
First published on the 4th of December 2021 — Last updated on the 27th of November 2024Zvivi zvakatangira muEdeni.
Eva akarangwa nekuda kwekutora mimba. Aive abata mimba.
GENESISI 3:16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa;
Eva aifanira kuva Maria. Aifanira kubereka Mwanakomana ari mhandara. Jesu aizokura, asina zvivi zvekufira, aizodaidza vatsvene vake vese kubva muguruva renyika.
(Jesu achaita izvi musi werumuko).
Kunonozova nehuwandu hwevanhu panyika hwakafanira kuti vagare panyika. Pasina vanoraudzira kuti vagofa mugehena.
Adamu nemwenga wake vaive vanhu vemweya kuna Genesisi Chitsauko chekutanga. (vakazoiswa mumiviri yemyama muchitsauko 2).
Saka, muChitsauko 1, Mwari aida kuti vabereke vawande pamweya. Kunyange kubereka mwanakomana anozvarwa nemhandara Jesu iye osika vatsvene vake vese kubva kuguruva.
GENESISI 5:1 Ndirori bhuku ramarudzi aAdamu. Musi waakasika munhu, Mwari wakamuita nomufananidzo waMwari;
Mwari Mweya. Mweya wemunhu chete ndiwo unogona kufanana naMwari, kwete muviri wemunhu.
Kusika zvinoreva kuti kuita chinhu kubva pasina. Mweya wemunhu chete ndiwo wakasikwa kubva pasina. Miviri yedu yakaitwa neguruva.
GENESISI 5:2 wakavasika murume nomukadzi; akavaropafadza, akavatumidza zita rinonzi Munhu, musi wavakasikwa.
Hunhu hwechikadzi hwaive mumweya waAdamu wechirume.
GENESISI 1:28 Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika,
Muchero une mbeu yawo mukati mawo.
GENESISI 1:12 ... nemiti inobereka michero, mbeu dzayo dziri mukati mayo, inamarudzi ayo;
Erizabeta akati kuna Maria.
RUKA 1:42 Akadana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nechibereko chedumbu rako chakaropafadzwa!
Mwana ndiye chibereko chemimba.
RUKA 8:11 Zvino mufananidzo ndiwo; Mbeu ishoko raMwari.
Saka, Adamu nemukadzi vaifanira kuunza Mwana (chibereko) aive nekuzara kweshoko maari.
Izvi hazvigoni kuitwa nesimba remunhu.
Vaifanira kumiririra Mwari kusvikira Mweya wake mutsvene wazadza mukadzi kuti abate mimba yaKristu.
Ndiko kubata mimba kwega kwaive chikamu chezano raMwari rekutanga.
Jesu paizokura aizodaidza vatsvene vake kubva muguruva renyika.
Izvi zvaizofanana nerumuko, zvakangosiyana nekuti hapana aifanira kutanga afa.
Asi kuti Edeni rivepo nekusingaperi, zvinhu zvese zvaifanira zvakaitwa nehunyanzvi hukuru. Zvisikwa zvese zvaifanira kuva zvakarurama. Kwaive kusingadiwi kukanganisa zvachose.
Eva paakatadza, zvaive zvakafanana nekudira mugomo wejecha muinjini yemotokari. Yakaita nyakanyaka. Zvese zvaive zvasikwa zvakakanganiswa.
Tinoona kuti Mwari akashandura kubva kuti kuti “berekanai” kuenda pakuti “achawanza kurwadziwa kureva kuti aizozvara kanodarika kamwechete.”
GENESISI 3:16 Kumukadzi akati, "Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako,
Eva akasarudza kuunza hupenyu panyika nekusangana pabonde. Izvi zvaireva kuti vazhinji vaizoberekwa vasingazoshandiri Mwari nekudaro vaisapinda denga. Vanhu ava vese vaive vasiri chikamu chezano guru raMwari rekutanga vaizofanira zvakare kuzvarwa nemukadzi. Izvi zvinowedzera kwazvo huwandu hwevanhu vaizozvarwa, nekuda kwesarudzo dzevanhu.
Zvakadaro, zvivi zvaizofanira kuripirwa.
Saka Marko akatizivisa Jesu seMuranda aitambudzwa Uyo, seMbudzi yekurasirira, akatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure kuGehena kunozvirasira pana Satani, baba vezvivi.
MuEvangeri raMarko, hakuna kutaurwa pamusoro pekuzvarwa nehuduku hwaJesu. Tinosangana neMuranda atokuraachigona kuita mabasa aakatsvagirwa.
Tinotonga muranda nekubata kwake nechido chake, kwete kamuberekerwo kake.
Chivi chaSatani chepakutanga chakabereka mhinduro yaMwari iri Evangeri.
MARKO 1:1 Kutanga kweEvhangeri yaJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
“Mwanakomana waMwari” ndiye munhu Jesu maari munogara Mweya waMwari.
COLOSSIANS 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
JOHANE 4:24 Mwari ndiMweya;
Mwari haasi nyama nemapfupa. Saka, munhu Jesu haasi Mwari. Bhaibheri harina kubvira rataura kuti “Mwari Mwanakomana”.
Asi muri zvese zvamuri. Nekuti kuzara kwehuMwari kwakagara muna Jesu, izvi ndizvo zvakagona kuita kuti Jesu ave Mwari.
Kwaive kusina vaHedeni muTestamente Yekare. Mabasa eMurairo aive akaiswa pazvipiriso zvemuTembere.
Asi izvozvi kwakaitwa zano idzva reruponeso. Evangeri reNyasha.
Zvivi zvakapindira muEdeni Adamu paakabvunzwa nezvezvivi zvake naMwari, akakakama. Kuneta kwedu vanhu kuri pakudisa kwazvo kupomera vamwe. Kusagona kwedu kumiririra zvatatadza nekudarika kwedu nechokwadi chakazara. Hatidzi kunzi tisu takaita chakaipa.
Kukanganisa kwaAdamu kukuru kwaive kwekuti haana kubvira atendeuka asi akasarudza kuwana nzira dzekupupurira hunhu hwake.
Eva akasarudza kupomera nyoka pachinzvimbo chekubvuma kutadza kwake.
Mwari akabva asarudza kuti kana aizova nekuyanana chaiko nevanhu, zvaizova kupfurikidza nekunge vatanga vatendeuka vabvuma zvivi zvavo. Hakuna zvimwe zvaizogamuchirwa.
Evangeri raizotanga chete kana vanhu vatendeuka nekubvuma kwedu kuti hatigoni kuzviponesa.
Izvi zvakamanikidza rudzi rwevanhu kutenda muMuponesi Aizouya.
Muponesi iye ega aizogona kuregerera zvivi nekutanga Hushe hwaMwari.
Hushe hwaMwari hunoisa kukosha pazvinhu zveMweya, kwete panezvematongerwo enyika kana zvido zvemaJuda zvekudzinga maRoma avakavenga.
Kwete parudo rwemari, zvinzvimbo, simba, zvaive zvazadza moyo yevatungamiri vezvitendero zvechiJuda.
MATEO 3:1 Namazuva iwayo Johane Mubapatidzi wakavuya achiparidza parenje reJudea
2 Achiti, tendevukai nokuti vushe hwokudenga hwaswedera pedo
Mwari akatumira muprofita kurenje. Uri wega kazhinji kubva kuvanhu vakawanda, usingatsvage mbiri. Hakuna chaunowana murenje. Vanhu vanoita sevanoda kushandira Mwari kuti vazviunganidzire pfuma zvinova zvakaipa.
Vanofunga kuti, “Kana ndikaita izvozvo Mwari nondipa makomborero”. Rudo rwekuzviwanira urwu rwunosvota Mwari.
Tinofanira kubatira Mwari nekuti tinoda Jesu. Nekuti tinoda Bhaibheri uye tinoda vamwe vedu vanhu vari panyika.
JOBO 13:15 Kunyange akandiuraya hake, ndichamumirira hangu;
Kana zano raMwari richida kuti Jobo avurawe, Jobo aive azvipira kuita zvaidiwa naMwari. Jobo akaramba achibatira Mwari zvisinei nezvese zvaakarasikirwa nazvo.
Saka, Johane Mubapatidzi akatanga Evangeri nenheyo dzakateiwa pakutendeuka.
JOHANE 1:28 Izvozvi zvakaitwa paBetania, mhiri kwaJoridani, kwaibapatidza Johane.
Johane aiparidza murenje pedyo neBetabara, “Imba yekuyambuka” pakayambuka naJoshua rwizi Jorodani.
Jorodani mucheerechedzo wekufa kuzvivi zvako.
Tinotendeuka zvivi zvedu zvoyambukira kuenda kunaJesu chinova chikonzero cherufu rwake.
Kushaiwa mhosva kwake kunoyambukira kwatiri ndicho chikonzero nei tichizowana Hupenyu husingagumi.
Kana mukasatendeuka nekufa kuzvivi zvenyu hakuna kwamunoenda naMwari.
Kuyambuka kukuru kwaive kweEvangeri raizorambwa nemaJuda Ruponeso, rwaive rwemaJuda muTestamente Yekare, rwaizoyambukira kuvaHedeni muTestamente Itsva.
Paakafa, Jesu akayambuka rwizi rwerufu akatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kuGehena kuna Satani. Akabva amuka kubva kuvakafa kuti aratidze kuti aive ayambuka zvakare achikurira Rwizi rweRufu. Saka, sechibereko chekutanga cherumuko, akasimbisa kuti aizotitungamirira kuyambuka rwizi rweRufu tichipinda Denga nekuti aive aripira muripo wezvivi kugehena.
Kumutsa miviri yedu kubva kurufu kana kushandura miviri yedu kana tichiri vapenyu, kuchange kusiri dambudziko kwaari sezvo tichiyambuka kubva kuhupeenyu huno kwenyama inovora kuti tipinde muhupenyu husingagumi pamwechete naye kumakore neKuuya Kwake kweChipiri (kunowanzodaidzwa kuti Repucha.
Mumashure merufu, kuvigwa nekumuka kwaJesu, mapostora akatanga kereke yeTestamente Itsva. Calvari ndicho chiprofita chekutanga chakaitwa kuna Genesisi.
GENESISI 3:15 Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.
Chitsitsinho chemufananidzo wakaonekwa muhope dzaNebukadinezzari ndipo paizopinda neruponeso ruchibva kumaJuda kuenda kuvaHedeni. Saka, Jesu akatora nzvimbo yechitsitsinho kuita kuti ruponeso rwedu ruvepo.
RUKA 4:8 Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: ...
Jesu aishanda chete nezvakanyorwa.
Jesu aitenda kuti Shoko raMwari rakarurama saka aitaura Shoko kuna Satani kuti amudzingire kure.
Satani, achiuya kumashure kwaJesu ari nyoka aizomuruma chitsitsinho, omukuvadza kwemazuva asingasviki matatu ayo aizotadza kufamba akarara mubwiro. Kunonotswa kwenguva duku, kwakakurirwa mumazuva matatu kuitira kuti kuvora kusapindire.
Hamuna kuvora muna Jesu. Hamuna kukanganisa muBhaibheri reKing James Vhezheni. Ndizvo zvinomiririrwa nechingwa chisina kuviriswa. Bhaibheri rakarurama, Mukuru.
Asi Jesu akakuvadza Satani mumusoro, ronda iroro richaguma rakuvadzisa Satani.
Parizvino, pfungwa dzaDiaborosi dzakakanganisika nekukuvara uku saka haagoni kuisa mafungiro ake paMagwaro. Anoramba achibva paBhaibheri achinotorana nekukanganisa kusimo muMagwaro. Pakupedzisira, aive akurudzira vanhu vazhinji kuti Bhaibheri reKing James Vhezheni regore 1769 rakakanganiswa. Akazobura mavhezheni anodarika zana emaBhaibheri echirungu, aanobvumawo kuti haana kururama. Mafungiro akadai anofadza makereke vakavodzwa nekukudzwa nembiriso yakavodza vakuru vemakereke.
Makereke pakupedzisira vanotenda kuti hakuna Bhaibheri rakarurama.
GENESISI 3:14 JEHOVA Mwari akati kunyoka, ...
GENESISI 3:15 Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo
Mwana aive mudumbu maMaria aive asina baba venyama. Saka Jesu aive Mbeu yemukadzi, nekuti hakuna munhu aigona kutaura kuti aive Mbeu yake. Iyi yaive Mbeu yehupenyu husingagumi.
Mbeu yemhuka yakazoshandurwa kuitwa nyoka yaive hurume kana mbeu yemunhurume (inoratidzwa pasi apa), mbeu yehupenyu hunounzwa nekusangana pabonde inofa.
Saka, Mwari akatuka nyoka yaive chisikwa chakachenjeresa, chipfuwo, chaive chiri pedyo kwazvo nekuva munhu kudarika gudo. Mwari akachishandura kuita nyoka inofamba nedumbu sezvo chiricho chipuka chakafanana nesero remurume rinobuda paanoita bonde.
Kupfurikidza kuzvarwa nemukadzi, vanhu vanoberekwa vachisara vaine vanga reguvhu. Ichi chiratidzo chechikara pamiviri yedu.
Kana hupenyu hwaguma muviri wemunhu unovata muguva zvinosiya vanga panyika.
Paimba yekutonga yaPontiasi Pirato vanhu vakaberekwa nemukadzi vakatora chiratidzo chechikara pahuma dzavo panogara pfungwa dzavo, nekuramba Kristu Shoko raMwari. Vakasarudza Barabasi, munhu werufu.
MARKO 15:7 Zvino kwakanga kunomumwe wainzi Barabasi, wakanga asungwa pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope, vakavuraya vanhu pabope irero.
Nhasi makereke anoramba Vhezheni reBhaibheri reKing James regore 1769, sezvakaitwa nemaJuda akaramba Jesu.
Evangeri rakayambukira kumaJuda apo Jesu, mumashure merufu nekumuka kwake, rakayambukira kubva kuGehena kuenda Kudenga.
Petro, muredzi mukuru, akatora maJuda pazuva rePentekositi, vaSamaria (vanoti chikamu maJuda chikamu vaHedeni), nemaHedeni kuti vagone kugamuchira Mweya Mutsvene.
Petro akatsiva rubapatidzi rwaJohane nerubapatidzo muzita raJesu Kristu. (Mabasa 2:38).
Saka, rubaptidzo rwemvura rwaJohane Mubapatidzi rwakashandurwa, asi kwete kutendeuka kwekutanga.
Pauro, mukaki wematente, akasonanidza Murairo neNyasha. Achitsanangura kukosha kwekufa kuzvivi zvedu kuti Kristu ararame matiri.
MaEvangeri aya akarasika muNguva yeRima.
Ipapo chokwadi chaizodzorerwa mukati menguva nhatu dzekupedzisira dzekereke. Mwenga aizodzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yeTestamente Itsva zvakagadzwa nemaprofita.
ZVAKAZARURWA 14:6 Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneEvangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose
Mutumwa uyu kana nhume kunguva yekereke yechishanu aive Martin Luther kuGermany. Aiparidza ruponeso nekutenda muna Jesu Kristu chete. Evangeri risingagumi ndiro kutendeuka nekutenda muna Jesu saIshe naMuponesi wedu.
Johane Mubapatidzi aive ndiye muvambi weEvangeri iri, akaparidza kutendeuka kuti vanhu vatende muMuponesi aizouya nekukasika. Evangeri rinogarotanga neruponeso nekutenda muna Jesu. Kuenda kukereke nguva dzese hazvitiiti maKristu.
Kutendeuka chaiko kunotiita maKristu kana tikatenda muna Jesu seMuponesi wedu.
ZVAKAZARURWA 14:8 Ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro.
Babironi, Kereke yeRoman Catholic kana masangano emakereke zvawira pasi muzvikamu zvemweya vachipinda mukusatenda kupfurikidza kusiya Bhaibheri vachitevera tsika dzevanhu, vachiwirawo muzvivi panyama.
Kunwa. Chipfambi. Zvinhu zvakaipa izvi zvinotukwa. Mutumwa kana nhume kukereke yechitanhatu aive John Wesley kuEngland nemharidzo yake yehutsvene.
ZVAKAZARURWA 14:9 Ipapo mumwe mutumwa wechitatu wakatevera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata chikara nomufananidzo wacho, nokugamuchira chiratidzo pahuma yake kana paruvoko rwake
Pahuma pane pfungwa kana ndangariro.
Kusukurudzwa pfungwa kusvika pakutenda zvinhu zvisimo muMagwaro.
Masangano anopikisa chiCatholic akabuda mairi ndiwo mufananidzo wechikara cheRoman Catholic.
Izwi guru.
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe,
William Branham aibva kuAmerica, pakati pegore 1947 negore 1965, akazivisa zvakavanzika zveMagwaro kuti tidzoserwe kunotenda zvakatendwa nemaprofita enguva yekereke yekutanga.
Kutonga pfungwa kunoitwa nevakuru vemakereke vanofuratira William Branham uye vanomanikidza vanhu vavo kutenda zvinhu zvisina kunyorwa muBhaibheri. Vanhu vanobva vashanda sevaranda vachishandira makereke avo. Kune masangano anodarika 45,000 emakereke akasiyana-siyana nemagungano. Makereke matsva ari kuramba achinyuka sezvo vatungamiri vemakereke vatsva vanoramba vachinyuka vachiita kuti vanhu vavatevere vachisiya kutevera Bhaibheri.
62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA. 2
Zvino, akabva kuna Jesu, Shoko, Jesu, Shoko; akaroorwa neumwe murume, anodaidzwa kuti Pope, nedzidziso dzemakereke dakarasika. Zvino haana Jesu. Ana Pope. Zvino hatina ... Masangano emakereke anopikisa chiCatholic haana Jesu. Ane sangano rekereke, zvimwechete, mufananidzo wechikara. Saka, haakwanisi kubereka mwana weShoko, kana mumwechete wavo. Imhombwe, iye pachake. Bhaibheri rinoti aive. “Aive nekomichi muruvoko rwake, akapa dzidziso dzake kuvanhu, kwaive kunyangadza, kushata kwekupomba kwake.” chii chinonzi kupomba? Kurarama usina kuchena. Dzidziso dzake ari kupa kuvanhu, kusviba kwekupomba kwake. “Madzimambo enyika ino, navose vakadhakwa newaini yekupomba kwake.” ndizvo chaizvo. Vatarisei. Mukomana, vanocheka huro yako, muchinguvana, nekuda kwaizvozvo. Kwete maCatholic chete, asi vemasangano vese.
Kereke yePentekositi yakangoipawo saizvozvo, boka revanhu vanotomuka, vachishamarara, vachitaura nendimi, nezvimwe zvakadaro. Kana zvasvika, pakuva nesimba rakakwana kurwisa kuita kwavo, vanokudzingai muboka ravo. Kana Mwari akapinda ipapo akamutsa vakafa, kana mukasabumirana navo, vanokuendesa kana musiri veboka ravo.
Evangeri rakabva kuGermany kuenda kuEngland rikazoenda kuAmerica.
MATEO 24:27 Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu
Pauro akayambira vakuru vepaEfeso.
MABASA 20:29 Ini ndinoziva kuti kana ndaenda mapere anoparadza achapinda pakati penyu, asingaregi boka
30 Vuye, napakati penyu pamene pachamuka varume, vachataura zvinopesanisa, kuti vatsause vadzidzi vavatevere
Vanhu vanotungamirira makereke vanosimudzirwa mukuzvikudza vachisimbirira kuti vanhu vanofanira kuvatevera.
MARKO 1:2 Sezvazvakanyorwa muvaprofita zvichinzi, tarira ndinotuma munyai wangu pamberi pako. Uchakunatsira nzira yako.
Mwari munguva yakadarika akashandisa muprofita Maraki 3:1 naIsaya 40;3 kufanotsanangura mutumwa aizouya Kuuya kwaJesu kweKutanga kusati kwasvika.
Jesu haashanduki anoramba akadaro zuro, nhasi nekusingaperi. (VaHeberu 13:8). Saka, haashanduki.
Jesu anoshandisa mharidzo yaWilliam Branham kuti afanokura nzira yekuuya kwake kweChipiri.
54-0515 MIBVUNZO NEMHINDURO
Zvimwechete zvaakataura pandaibapatidza paRwizi rweOhio, vazhinji venyu maive makamirapo, makore makumi maviri nematatu adarika, paRwizi Ohio mwenje iwoyo, Mutumwa, anoburuka kuuya pataive achiti,
“Apo Johane Mubapatidzi paakatumwa kunogadzira nzira yaJesu Kristu yekutanga, Mharidzo yenyu ichaunza Kuuya Kwechipiri kwaJesu Kristu”.
Kukosha kunoiswa pane zvakaparidza nehama Branham, kwete paari semunhu.
MARKO 1:3 Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake ...
Murenje. Hakuna mbiri. Kunorambwa nemasinagoge (Nhasi, tinomati makereke) kunongana vanhu pamwechete vachinyengedzana kuti vari kushumira Mwari. Asi vanenge vachingogadzira zvitendero zvinovaitira. Vainge vasingateveri Magwaro.
Johane haana chaakadzorera. Akaunza rubapatidzo rutsva rusina kubvira rwazivikanwa nemaJuda.
Johane akauyawo kuzozivisa Messiasi kuIsraeri. Ichi chaive chiitiko chitsva.
Johane aive asina chekuita neTembere kana nevakuru vezvitendero zvemaJuda. Izvi zvaive zvisina kumbonzwika.
Johane aive kumberi kwenguva yaakararama. Aiziva kuti Tembere nezvibairo zvayo zvaive zvakavodzwa nehuwori uye zvaive zvave padyo kuguma.
MARKO 1:4 Johane wakavuya achibapatidza murenje. Achiparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka vakanganwirwe zvivi.
Murenje. Nzvimbo yakaoma isina vamwe vnhu vazhinji. Achitevera hutungamiriri hwaMwari haisi nzira yekuenda kunoita mbiri.
Vanhu vashoma vanoda kutenda kuchokwadi chemuBhaibheri.
MATEO 7:14 Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.
Tinofanira kutsvaga chokwadi togadzirira kurambwa.
MARKO 1:5 Nyika yose yeJudea naveJerusarema vose vakabudira kwaari. Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
Judea, pamepu iri pamusoro apa, munzvimbo yegirini
Johane aive akaoma, akasimba, adingagoni kurasiswa nevanhu. Akaznza maJuda enzvimbo iyoyo. Hana mari yaakakumbira akadaidza vakuru vezvitendero kuti nyoka nekuda kwemharidzo dzavo dzakaipa. Asi vanhu vakamutevera zvakadaro. Vaiziva kuti aive muprofita wechokwadi asina tsvete.
MARKO 1:6 Johane wakanga akapfeka nguvo yamakushe ekamera nebhanire reganda muchivuno chake. Waidya mhashu novuchi bwesango.
Vhudzi rengamera. Rakachipa uye rakareruka kuwana, asi rakaoma nekusimba. Paive pasina Evangeri rekupfuma pano.
Adamu naEva vakadzingwa muEdeni, vakaputirwa nematehwe ane ropa. Mumashure mechivi chekutanga, vakapfeka nhembe dzakaitwa nemashizha emuvonde pazviuno zvavo. Kazhinji tinofukidza chatinotadza nacho. Mwari akatsiva chitendero chakaitwa nevanhu nedehwe remuka. Humhandara hwaEva hwaive hwaputsika ropa rake radeurwa nechisikwa chakatukwa chikashandurwa kuitwa nyoka, chisikwa chaive chinamano kwazvo pazvisikwa zvese zvepasi pano chaive pamusoro pezvipfuyo zvese. Chisikwa ichi chakatukwa kuti chifambe nedumbu senyoka. Zvinoreva kuti chaive chivete nedumbu pachakatadza.
Senyoka chaive nerurimi rwakapatsanukanepakati sezvo aisanganisa chokwadi nekutadza. Izvi ndizvo zvakarambwa naJohane Mubapatidzi muvakuru vechitendero chechiJuda. Kusanganisa kwavaiita Magwaro netsika dzakaitwa nevanhu. VaFarise, vaSeduse nanaRabbi havana kubvira vava chikamu cheMurairo waMosesi. Asi zvinhu zvisimo muMagwaro izvi zvakasimudzirwa kuita vatungamiri vezvitendero.
Nhasi uno tine maPope asimo muMagwaro, maKardinari nemaAchibhishopu varu vatungamiri vemakereke.
Saka, vatungamiri vechitendero vechiJuda vaishandisa zvinzvimbo zvavo nesimba kutendeutsa vanhu kubva kuna Jesu, aive Shoko raMwari. Senyoka, vaive nechefu yekutadza muchitendero mumiromo yavo.
Chivi chekutanga chakaitwa nemhuka ichideura ropa. Saka, ropa rakadeurwa remhuka raizoripira zvivi. Saka, Adamu naEva vakafamba vachibuda muEdeni nezvivuno zvavo zvakafukidzwa nematehwe azere ropa.
Asi Johane aiziva kuti Gwaiana Idzva raiuya kuzoripira zvivi.
Zvakafanana nemuEdeni kwakatangira zvivi, Johane aipfeka dehwe muchivuno chake asi achiziva kuti Gwaiana neimwe nzira richatipa Ropa richatichenesa kuzvivi zvedu.
Huchi chikafu chimwechete chisingaori. Evangeri risingagumi reruponeso. Kutedeuka hakugumi uye nguva haiperi. Kunoramba kuri mushonga une simba kwazvo wezvivi.
Mhashu, nesimba radzinadzo rekuparadza, mucherechedzo wemadhimoni. Johane akadziparadza nemeno ake. Saka, akabvambura kuzvidza kwevakuru vezvitendero kukuita marara. Akakwazisa vatungamiri wezvitendero sekuti vaive dendere renyoka nezvinyavada. Vana venyoka. Nyoka dzaive chibereko wechivi chakaitwa nemhuka yakatukwa ikashandurwa kuitwa nyoka. Vachiropodza dzidziso dzakaitwa nevanhu kuti vabhadharwe, vasingaparidzi chokwadi.
MARKO 1:7 Akaparidza achiti, shure kwangu kunovuya mumwe unesimba kupfuvureni. Wandisina kufanira kukotama kuti ndisununugure rukanda rweshangu dzake.
Johane aive mutumwa nemukuri wenzira yeKuuya kwekutanga kwaShe. Asi aiziva kuti Messiasi Aizouya aizova akarurama, akakura kwazvo kudarika iye.
Kuenzanisa kana kupima mukuri wenzira naJesu kwakatoshata.
“Rukanda rweshangu Yake”. Tambo yeshangu dzake.
Tsoka dzemufananidzo weMuhedeni akaonekwa muchiratidzo chaNebukadinezari wenguva nomwe dzemakereke.
Tsoka mucherechedzo wenguva dzemakereke.
Kugezeswa kwetsoka kunomiririra nguva nomwe dzemakereke mumvura dzeShoko.
(Johane Mubapatidzi akapa muono wezvinhu zvemberi kupfurikidza kubapatidza vanhu murwizi Jordan.)
Zaruriro yeShoko rakanyorwa inozarura pfungwa dzedu kuchokwadi chinogeza kusatenda kubva mupfungwa dzedu kana mundangariro dzedu yotendera kuti tishandire Mwari pachinzvimbo chekushandira sangano rekereke kana gungano.
Panyama, tsoka dzinofukidzwa neshangu dzinosungwa nerukanda.
Ukatarira nepamusoro perushinda rwakasungwa, chaunogona kuona chete rurimi rweshangu. Saka, vePentekositi vakakura pandimi, chipo chikuru chinobatsira kwazvo cheMweya, asi chiri chipo chiduku kwazvo.
I VAKORINTE 12:31 Asi shingairirai zvipo zvikuru.
Chipo chekutanga chakataurwa huchenjeri nezivo.
Shoko rezivo rinoreva kuti munogona kunzwisisa micherechedzo yeShoko kuti MUZIVE zvinoreva mavhesi emuBhaibheri.
Shoko rehuchenjeri ndiro rinodiwa kuti tibatanidze mavhesi akasiyana siyana pamwechete kuzivisa nyaya kana nzira muShoko, kunova kuziviswa kwechokwadi cheMagwaro chakadzama.
Kana tsoka dziri mucherechedzo wenguva nomwe dzemakereke, ipapo pakupedzisira chete kwenguva nomwe dzemakereke ndipo panouya maprofita anogona kuzivisa zvakavanzika zvenguva nomwe dzemakereke.
Zvakavanzika zvakavharirwa neZvisimbiso zvinomwe zvinotangira kuna Zvakazarurwa Chitsauko 6.
Kuzarura kana kuzivisa zvakavanzika zveZvisimbiso zvakafanana nekusunungura rukanda rweshangu yaShe.
Johane Mubapatidzi aiziva kuti hahusi hushumiri hwake.
“Rukanda rweshangu yeuyo wandisina kufanira kusunungura shangu yake”.
Saka, umwe Erija aizouya kumberi panguva yekupedzisira.
MATEO 17:11 A kapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
Johane Mubapatidzi aive atofa kare nenguva iyi. Asi umwe Erija achauya munguva inouya achavandudza kereke yenguva yekupedzisira, sevana vaduku, achivadzosera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemadzibaba maprofita.
Zvakavanzika zveMagwaro zvakaziviswa naWilliam Branham muAmerica. Asi isu sevana vaduku, tinofanira kutsigira zaruriro dzake tega neBhaibheri. Tinofanira kugona kutevera zaruriro dzake mumavhesi eBhaibheri akasiyana siyana anoyanana kutsigira kuti zviri kuparidzwa zviri muMagwaro.
MATEO 17:12 Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvo vo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
Johane Mubapatidzi akauya akaenda maJuda asina kunzwisisa kuti hushumiri hwake hwaive hwei.
William Branham aizouyawo odarika vanhu vasina kuziva kuti ndiye aive auya kuzoedza kuti vaise zvitendero zvavo panzira, dzaakazivisa dziri muBhaibheri, dzaakaburitsira ivo pachena.
Hazvina kukwanira kubata zvaakataura tozvitevedzera separoti. Munofanira kugona kutsigira kuti zvaakadzidzisa zvaive zvakanyorwa muBhaibheri. Saka, munofanira kugona kutsigira zvamunotenda neMagwaro.
Kana musingagoni kuita izvi munenge mapesana nezvaive muhushumiri hwehama Branham.
Hama Branham pavakazivisa Zvisimbiso zvitanhatu zvekutanga, akasunungura rukanda rweshangu yaShe pamweya kuti azivise tsoka dzake dzinomiririra nguva nomwe dzekereke.
Chisimbiso cheChinomwe hachina kubvira chaziviswa sezvo chichitaura zvakavanzika zveKuuya kweChipiri kwaJesu. Ichi ndicho chakavanzika chikurusa pasi nedenga uye chakaoma kunzwisisa nekuti chinotibvisa panzvimbo yatiri uyezve kutibvisa munguva. Saka, hakuna anoziva kana achaziva kusvikira zvaitika.
Kana munhu achiri panyika achirarama munguva (achichembera) achiri neropa mumuviri make achiri neguvhu nekuda kwekuzvarwa nemunhu, vanenge vasiri chikamu cheChisimbiso chechinomwe. Guvhu ndiro chiratidzo chechikara pamiviri yedu rinotitarira rufu kana Mwari auya.
Kana mukatarisa areka yesungano. Chigaro chenyasha chiri pakati pemaKerubi.
Chigaro chenyasha paCalvari chinoziviswa mumaBhuku mana eEvangeri ari pakati peTestamente Itsva neTestamente yekare.
MARKO 1:8 Ini ndakakubapatidzai nemvura asi Iye uchakubapatidzai noMweya Mutsvene
Tinobva tasvika pachirevo cherubapatidzo rwemweya Mutsvene. Kunzwisisa Magwaro.
DANIERI 8:27 Ini Danieri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu waizvinzwisisa
Danieri ainzwisisa mazwi echiHeberu asi aive asina ruzivo kuti airevei.
JEREMIA 5:21 Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi
Vanhu vanogona kuverenga Shoko asi havana gwara kana Muono Mukuru wekukwanisa mavhesi eBhaibheri. Mufananidzo izaruriro. Mufananidzo wakajeka kana nzira inofamba nemabhuku mazhinji eBhaibheri.
Jesu paakataura nevadzidzi vaviri munzira yekuenda Emausi.
RUKA 24:27 Ipapo akatanga kunaMosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.
Jesu akanyora mufananidzo waMessiasi aitambudzika akafambisa pfungwa iyoyo nemavhesi emuBhaibheri akawanikwa kumaprofita ese emuTestamente yekare.
Kubatanidza mavhesi iwayo ese kuita mufananidzo wakazara yaive zivo uye “Mufananidzo” wavakaita” waive “kunzwisisa”. Kuita uku kwese kwakadaro kunonzi zaruriro.
Paikwana vhesi rimwe nerimwe mukuita uku kana basa iri, vainzwisisa zvaive mukati mevhesi iroro.
Saka, kekutanga, vaive nezivo yechokwadi yevhesi rega rega.
Vadzidzisi venhema vanonyora mufananidzo wakasiyana asi vasingagoni kuti mavhesi eBhaibheri akwane mumufananidzo wavo. Saka, vakafuratira kana kushandura mazwi emuBhaibheri. Vanofanirawo kuzivisa mazwi nekutsanangura kusiri muBhaibheri. Sekuti Tiriniti, Kisimusi, nguva yeKutambudzika yemakore manomwe, Pope, nezvimwe zvakadaro.
Uhu hunyengeri.
DANIERI 12:9 "Iye akati, `Chienda hako, iwe Danieri, nokuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.
Pakuguma kwenguva, tinenge tisina chikonzero chekutadza kunzwisisa Muono kana Mufananidzo mukuru. Mwari vachazivisa zvakavanzika vachada kuti isu tikwanise kuisa mavhesi eBhaibheri muMufananidzo Mukuru.
Kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 Mutumwa mukuru anoburuka kubva kudenga neBhuku yakazarurwa kuzomutsa vakafa. Zvakavanzika zvakaziviswa nekuti Bhuku yakazarurwa.
ZVAKAZARURWA 10:1 Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
Mugore 1964, gore rimwechete mumashure mekuonekwa kwegore guru, hama Branham vaive vachiri vakamirira Mutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 kuti auye amutse vakafa. Saka Gore remuna 1963 raive risiri Mutumwa Mukuru.
1964-0119 SHAROMI
Asi, rangarirai, kana tikangopinda mumumvuri werufu, “Ndini Rumuko nevupenyu; ndichamumutsa zvakare.” Uye kana Mukuru wemasimba ose aburuka akaisa hoko iyoyo pasi, ipapo, “nguva haizovapo.” Kana Mutumwa, wekunaZvakazarurwa chitsauko 10, akaisa tsoka yake imwe pamusoro penyika imwe pamusoro pegungwa, nemurarabungu pamusoro pake, Anopika, “Nguva haizovapo zve.”Kana nguva iyi yasvika, muchamutswa kubva pakati pevakafa. Apo vamwe vese varere pakadaro apo, imi munobva mapinda.
ZVAKAZARURWA 10:2 Wakanga akabata bhuku duku yakazaruka muruvoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboswe pamusoro penyika;
Ari kuuya kuzomutsa vakafa.
Vese vatsvene vakafa venguva nomwe dzemakereke vakavigwa panyika kana mugungwa.
Bhuku rakazaruka. Vashoma vanotenda Shoko rakaziviswa. Ndicho chikonzero nei izwi rekuti “duku” rakashandiswa.
MATEO 7:14 Nokuti suvo rakamanikana nenzira nhete inoenda kuvupenyu, vanoiwana vashoma.
Vashoma kwazvo vachatevera Magwaro pakupedzisira. Vafundisi kana mapasita emakereke achakurudzira nekumanikidza vanhu kutevera mazano avo enyama pachinzvimbo chekuvaudza Magwaro.
MATEO 9:37 Zvino akati kuvadzidzi vake, zvirokwazvo kucheka kukuru asi vabati vashoma.
Vashoma kwazvo vachaparidza Shoko richatsigirwa neBhaibheri uye vachiritsigira.
MATEO 25:23 Ishe akati kwaari, zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka, wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako.
Kutendeka kutsigira kuti zvakaparidzwa nehama Branham zvaive zvichibva muMagwaro. Kutendeka kutenda kuti nguva yekereke yekupedzisira inofanira kuva nekutenda kwakafanana nekwaive nenguva yekereke yekutanga yemapostora.
Ipapo chete ndipo patinokwanisa kutonga muMereniyamu, makore 1 000 erugare.
RUKA 12:31 Asi zviri nani mutsvake vushe bwaMwari, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
32 Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe.
Kapoka kaduku kenguva yekupedzisira kachadya nhaka yehushe muMereniyamu nekuti vakaisa Mwari pamberi, kwete munhu.
VAGARATIA 5:9 Mbiriso shoma inovirisa bundu rose.
Tinofanira kungwarira nekuti kukanganisa kuduku kunokwanisa kuita murango mukuru wopararira kune zvimwe zvatinotenda, kovodza zvakare ikoko.
MATEO 24:37 Sapamazuva aNoa ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.
Noe chiGiriki chekuti Noah. Vasere chete ndivo vakaponeswa munguva yake. Asi mumwechete chete, Enoki, ndiye akatorwa kukwira Kudeng a. Saka hazviiti sekuti vazhinji vachange vakagadzirira Kuuya kwaShe.
MATEO 22:16 Nokuti vazhinji vakadanwa asi vakaasanangurwa vashoma.
Nguva yekereke yekupedzisira inofanira kufanana nenguva yekereke yekutanga kuti pasaite musiyano unoonekwa pakati penguva yekereke yekutanga nenguva yekereke yekupedzisira. Asi vashoma chete ndivo vachasarudzwa munguva yekereke yekupedzisira kuti vazadzise kudzorerwa kukereke yekutanga.
MATEO 22:14 Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma
Vakawanda vanoziva pamusoro pehama Branham nemharidzo dzavo asi vakanyengerwa kusvika pakusimudzira zvaakataura kuzviisa pamusoro peBhaibheri. Saka dzidziso dzisimo muMagwaro dzakasvibisa makereke emharidzo.
Vanhu vashoma kwazvo vakasarudzwa kuti vasimbise zvaakataura nekuzvironda mumavhesi eBhaibheri saka zvakaratidza kuti dzidziso dzake dzinobva muMagwaro. Chero chinhu chaanotaura chisingabvi muMagwaro chinofanira kufuratirwa.
Gore guru rinoshamisa rakaonekwa muna 1963, pachinhambwe chemamaira 30 mudenga, rakanzi kwaive kuuya kwaShe rikanziwo zvakare kwaive kuburuka kwemutumwa mukuru wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10.
Hama Branham havana chavaiziva nezvegore iri kusvikira papera mwedzi mishoma. Akafungidzira zvisirizvo kuti vatumwa vanomwe vakaita gore, vakariita vachibva kwavari pedyo negomo reSunset Peak musi wa 8 Kurume 1963. vatumwa vakaita gore musi wa 28 Kukadzi 1963 mamaira anoda kuita 200 kumusoro kweSunset Peak pedyo neguta reFlagstaff. Pane zvinhu zvishoma kwazvo zvakafanana pakati peMutumwa ari muchiratidzo chaJohane neGore.
Izvi ndizvo zvakaita Mutumwa.
Izvi ndizvo zvakaita gore. Paive pasina chiso chaionekwa pagore.
Mutumwa ari muchiratidzo aive nechiso chaipenya kunge zuva.
Gore rakagara pachinhambwe chemamaira makumi matatu mudenga, harina kubvira raburuka.
Hama Pearry Greene vakaita fotositeti yegore (iri kuratidzwa pamusoro apa), ndipo pakazoonekwa mumvuri wechiso.
1965-0718 KUEDZA KUBATIRA MWARI ASI HUSIRI HURONGWA HWAMWARI
Muchiitiko chikuru ichi, kuti nyika haingavi nechiro, vachiri kushushikana kuti chii chakaitika. MuTucson, vaongorori vakuru kwazvo vakatora mifananidzo waro riri muchadenga; vachingoshushikana kuti chii chaiive chaitika. Chaimbove chii? Vaive vachiri kuisa mumapepa, “kune anozivawo here nezvazvo, kuti zvakaitika sei?” hakuna guti kudenga uko, hakuna hunyoro, mamaira makumi maatatu muchadenga. Oh, maiwe!
“kuchaitika zviratidzo kumusoro kudenga. Kana zvinhu izvi zvikaitika, kudengenyeka kwenyika nzvimbo dzakasiyana siyana, ipapo chiratidzo chichaonekwa mudenga, cheMwanakomana womunhu.”
Muna 1965 hama Branham vakazoisa gore iri pakuriita chiratidzo cheMwanakomana wemunhu Kudenga.
Muna 1965, mumwedzi wekupedzisira wehupenyu hwake, hama Branham vaive vachiri kutarisira kudanidzira kwenzwi guru nenzwi reMutumwa Mukuru kuti rimutse vakafa.
1965-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, munguva ino, ichava nguva yakaita saiyoyi pakuchava nekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga neKudanidzira, nenzwi reMutumwa Mukuru, hwamanda yaMwari icharira, vakafa muna Kristu vachamutswa.
Kudanidzira kwaive kusiri iye achizivisa zvakavanzika. Kudanidzira ndeapo Mwenga anokwanisa kuzivisa zvakavanzika izvozvo kubva muMagwaro.
ZVAKAZARURWA 10:3 Akadanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa manzwi ako.
“akadanidzira nenzwi guru”. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu pakamutswa Razaro.
JOHANE 11:43 Wakati areva izvozvo, akadanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, buda!
Kudzvova kweShumba ndeapo Jesu, Mutumwa mukuru anomutsa vakafa. Iyi iShumba yeRudzi rwaJuda ichidana vatsvene vayo vakafa munguva nomwe dzemakereke.
Jesu, “akati adanidzira” pamuchinjiko, vatsvene veTestamente Itsva vakamuka kubva kuvakafa.
MATEO 27:50 Zvino Jesu akadanidzirazve nenzwi guru akabudisa mweya wake.
52 Mabwiro akazaruka nemitumbu mizhinji yavatsvene vakanga vavete yakamutsva.
53 Vakabuda pamabwiro iye amuka vakapinda muguta dzvene. Vakavonekwa navazhinji.
“Kudanidzira nenzwi guru” uye “Akati adanidzira” kwese kutaura kunofambidzana nekumutswa kwevakafa.
Saka, Zvakazarurwa 10:3 inoona Mutumwa Mukuru achimutsa vakafa kubva munguva nomwe dzemakereke.
“Akati adanidzira, Kutinhira kunomwe kwakareva manzwi ako.”
Saka Kutinhira kunomwe kunoreva mumashure merumuko.
Kutinhira kunomwe kunotipa kutenda kwekukwira kudenga.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Ipapo kunouya kutinhira kwakavanzika kusina kana kunyorwa zvachose. Ndizvozvo chaizvo. Ndinotenda izvozvo nekutinhira kunomwe ikoko kuchaziviswa mumazuva ekupedzisira kuitira kuti mwenga aunganidzirwe kuwana kutenda kwekukwira kudenga; nekuti kwatiri nako nhasi, hatigoni kuzozvigona. Tine zvatinofanira kuenda mberi kwazviri; hatigoni kuwana kutenda kwakakwana kwekuponeswa. Tinofanira kuwana kutenda kwakakwanira kushandurwa muchinguvana nekutorwa kukwira kudenga kubva pano panyika.
Munokwanisa chete kutorwa kukwira kudenga kana mava mumuviri mutsva usingavori. Saka Kutinhira kunomwe kunozivisa Mwenga kuti miviri yedu yoshandurwa sei.
ZVAKAZARURWA 10:4 Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.
Kutinhira kunomwe ndiko chakavanzika chikuru.
Hakuna kunyorwa muBhaibheri asi kwakavanzwa muBhaibheri.
Kuchange kwakasiyana kwazvo nezviitiko zvanhasi tichatatarika makuri.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Asi fungai, zvino akanyora izvi, asi paakatanga kunyora zvimwe zvisimbiso zvinomwe, akati, “Usazvinyora.”
... Mwari akati, “Usazvinyora. Mira. Ndichazvizivisa nezuva iro. Usanyora zvese, Johane, ‘nokuti vachazvishaisha. Siya zvakadaro. Asi ndichazvizivisa muzuva iro kana zvoda kunzi zvizivikanwe”.
Zviitiko zvichaoma kunzwisisa uye zvicharema. Hatizogoni kudavira tichishandisa huchenjeri hwedu vanhu. Tinenge takufanira kutarisisa zvakanaka muMagwaro kuedza kuyananisa zviitiko neBhaibheri.
Semuenzaniso, vanhu vazhinji vaifunga kuti Donald Trump achakundiakana sarudzo dzegore 2016 dzemutungamiri wenyika yeAmerica nekuti aive munhu akaipa. Asi akanga ataura kuti achazoita Jerusarema guta guru reIsraeri.
Muprofita wenguva yekupedzisira akazivisa zvakavanzika zveMagwaro zvino zvakusvika panguva yekuti Mwari akufanira kutendeukira kudzokera kuIsraeri. Saka ndiwo waive Muono Mukuru waive naMwari mundangariro dzake, apo vatungamiri vemakereke vaikanganiswa nezviduku zvavaikanganisa zvenyama dzavo. Asi kusimuka vachirwisa maMoziremu 1.4 bhiriyoni zvinoda hushingi chaihwo. Mutungamiri wenyika Trump aive nesimba iroro rakawandisa.
Zvakafanana Mwenga anoda kushinga kukuru kuti atore zvakataurwa naWilliam Branham azvidzosere muMagwaro.
ZVAKAZARURWA 10:5 Ipapo mutumwa uya wandakavona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, wakasimudzira ruvoko rwake rworudyi kudenga
6 Akapika naiye uri mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo
Nguva inoguma. Nguva inokonzeresa shanduko dzinotichembedza nekutiuraya.
Nguva inogona chete kuguma kana tikapinda muhupenyu husingagumi.
Asi Einstein akazivisa kuti nzvimbo nenguva zvakarukaniswa senzvimbo-nguva.
Saka munokwanisa chete kubuda munzvimbo yechina yenguva kana mukange mabva munzvimbo yetatu yenzvimbo. Kuti izvi zviitike tinoda miviri mitsva inobva kunzvimbo dzekumusoro soro.
Saka Mwenga anotorwa kukwira kudenga kunzvimbo yepamusoro paKuuya kweChipiri kwaShe.
Bhuku rakazarurwa riini?
ZVAKAZARURWA 10:7 Asi namazuva enzwi romutumwa wechinomwe, kana vodo-kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita
“Zvichapedziswa”? Izvi hazvitauri pamusoro pehama Branham vaiziva zvavaive vazivisa.
Izvi zvaireva Mwenga aizotora dzidziso dzehama Branham adzidzosera kuMagwaro kuti titende sezvaaita kereke yekutanga.
Kubva muna 1966 zvichienda mberi takararama mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe. Mharidzo dzake dzaifanira kutipa muono wakakwana kuti tifumure zvaireva mavhesi eBhaibheri. Tinofanira kugona kutsigira zvatinotenda tichitangira kuna Genesisi tozvironda muBhaibheri rese kusvika tasvika kwekupedzisira kuna Zvakazarurwa.
“Zvicha” pedziswa. Hama Branham vakazivisa zvakavanzika saka nei Bhaibheri rakati “zvicha” pedziswa. Hama Branham vaiziva zvavaitaura nezvazvo. Vaiziva zvakavanzika.
Asi Bhaibheri haritauri kuti mumazuva emutumwa wechinomwe. 1947 -1965. Nguva yavaiparidza vachizivisa zvakavanzika.
Rinoti mumazuva enzwi remutumwa wechinomwe.
Saka, izvi zvaive kubva muna 1966 zvichienda mberi. Tinofanira kugona kutsigira zvakavanzika izvi neMagwaro.
ZVAKAZARURWA 10:8 Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika
Harisingori inzwi reMutumwa wechinomwe.
Tinodawo kunzwa mamwe manzwi kubva Kudenga. Ndiro izwi reMweya Mutsvene.
Anotiraira kuti titore Bhuku rakazarurwa, King James Vhezheni reBhaibheri rakaziviswa kuhama Branham negore 1965, asi risati raziviswa kuMwenga.
Mune mamwe mazwi, torai zvakaparidzwa nehama Branham motsigira zvinhu izvozvo muchishandisa Bhaibheri chete. Nenzira imwechete yakashandiswa Testamente yekare naJesu kutsigira kuti iye aive ani kuvadzidzi vaviri munzira yavo yekuenda Emausi.
II VAKORINTE 13:1 Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa
Tinoda zvapupu zviviri kana zvatoita zvishoma. Mazwi akataurwa akabatwa paitaura muprofita anofanira kutsigirwa neBhaibheri.
JOHANE 16:13 Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose;
Humbowo hwerubapatidzo rwemweya Mutsvene isimba redu rekugona kumurega kuti atitungamirire kuti tinonzwisisa Magwaro.
II VAKORINTE 3:6 Iye wakatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa vupenyu
Kuverenga Magwaro musina zaruriro yakakwana yezvaari kutaura hazvisi kuzokubatsirai.
MATEO 5:18 Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuvura, yota imwe kana tsanga imwe yomurairo hazvingatongopfuvuri, zvisati zvaitika zvose.
Zvinhu zvese zviri muMurairo zvine zvazvinomiririra zvakadzama zvechokwadi cheMagwaro. Murairo nemitambo yawo zvingadai zvakamira asi zvaane kuzadziswa kwakadzama.
Semuenzaniso.
REVITIKO 19:19 ... Usafuka nguvo yakarukwa nezvinhu zvamarudzi maviri;
Nguvo dzinomiririra kururama kwevatsvene.
Shinda dzinomiriringuwani yemutongi.
Kusasanganisa shinda nenguvo hazvicharevi zvinhu zvenyama sezvo zvakawana kuzadziswa kwakadzama.
Vatsvene vakarurama muMwenga havangaendi kunotungwa paZuva reKutongwa. Vachatonga ndivo.
Vakarurama vanopesana nekutongwa zvinobatawo paMwenga nekuti anenge atorwa kunosangana naShe Kudenga apo vamwe vanhu vose vanopinda kunotongwa munguva yeKutambudzika kukuru.
1 VAKORINTE 6:2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?
ZVAKAZARURWA 19:8 ... nokuti mucheka wakanaka ndizvo zvakarurama zvavatsvene
DANIERI 7:9 Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguvo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa;
10 … kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa
Saka, Murairo unokudzwa. Hauchatauri nezvezvinhu zvenyika ino asi unobata nhau dzakadzama dzemweya.
Paseka yegwayana yakawana kuzadziswa kwayo paCalvari nerufu rwaJesu seGwaiana raMwari.
ISAYA 42:21 Zvakafadza JEHOVA, nokuda kwokururama kwake, kukudza murayiro nokuurumbidza
Mumufananidzo wemukushi, ivhu rakanaka rinomiririra simba remunhu rekunzwisisa zvinoreva Magwaro.
MATEO 13:23 Wakakushwa muvhu rakanaka ndiye unonzwa shoko akarinzwisisa. Ndiye unobereka zvibereko mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu mumwe makumi matatu
Jesu paakapa vanhu 5000 chekudya aida kuti vadzidzi vanzwisise kuti nei matengu 12 emafufu akanongwa.
MATEO 16:9 Hamunzwisisi nazvino here kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vanezvuru zvishanu namatengu amakawana kuti aiva mangani?
Jesu paakapa vanhu 4000 chekudya Aida kuti vadzidzi vake vanzwisise kuti nei matengu manomwe emafufu akanogwa pakanga papedza vanhu kudya.
MATEO 16:10 Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zvuru zvina namatengu amakawana kuti aiva mangani?
Dzidziso yevaFarise yaive yakaita yembiriso yakavidzwa (yisiti) yaizoita kuti maJuda enguva iyoyo arambe Shoko raJesu.
Ipapo vadzidzi vaiunganidza mafufu vomadzosa ava Testamente Itsva kumapoka maviri evanhu, kereke munguva nomwe dzemakereke nemarudzi gumi nemaviri evaIsraeri munguva yeKutambudzika kukuru apo maJuda 144,000 vanouya kuzosangana naMessiasi wavo.
12 ne 7 ndizvo zviverengo zviviri zvatinoona muTabernakeri yeTestamente Yekare.
Chigadziko chemwenje minomwe chinomiririra chiedza cheEvangeri munguva nomwe dzemakereke.
Marudzi gumi nemaviri evaIsraeri anomiririrwa nezvingwa gumi nezviviri zvekuratidzira zvinofanira kudyiwa muNzvimbo Tsvene. Ndicho chikonzero nei maJuda ari kudzokera kuIsraeri kunosangana naMessiasi.
Jesu ndiye Musoro wemaKristu ese akaponeswa vanoita Muviri wake.
Musoro unobatanidzwa nemuviri nebhonzo remusana rinonzi sipaini kana kuti bheki bhoni. Mabhonzo manomwe ekutanga evhetebhureyi anoita mutsipa. Mabhonzo 12 anotevera evhetebhurei akabatana nembabvu.
Zvinhu zvakasikwa zviri panyika ndizvo chapupu chetatu chinopupura chokwadi cheBhaibheri.
Jesu anouya munhandare kuzozadzisa Magwaro ese anotaura nezvehushumiri hwake.
MARKO 1:9 Namazuva iwayo Jesu wakabva Nazareta muGarirea, akabapatidzwa naJohane muJoridani.
Jesu akabapatidzwa nekuda kwei? Aive asina zvivi.
II MAKORONIKE 4:6 Akaitawo midziyo yokusukira ine gumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruboshwe, yokusukiramo; zvinhu zvezvipiriso, zvaipiswa, zvaisukirwamo; asi dziva rakanga riri ravapirisiti rokushambidziramo
Jesu aive chipiriso chedu chezvivi. Aifanira kuripira zvivi zvedu pamuchinjiko uye nekuita mbudzi yekurasirira paakatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kugehena kwaizopiswa vatadzi. Asi aive akarurama asingatsvi chero akafamba mumoto wegehena kunorasira zvivi zvedu pana Diaborosi.
ZVAKAZARURWA 1:15 Tsoka dzake dzakanga dzakafanana nesafuri inopenya,
Saka, kupinda pasi pemvura, apo munhu asingagoni kufema aripo, zvinomiririra guva munovigwa muviri wake apo Mweya wake Mutsvene wakakuririra hondo yeruponeso mugehena. Mweya wake Mutsvene ndiwo waive chipiriso chedu chakanopiswa. Mweya Mutsvene wakaenda kugehena pachinzvimbo chedu, wakatakura zvivi zvedu, asi aive akarurama zvakanyanyisa zvekuti moto wegehena nemadhimoni eko ese hazvina kugona kumubata kana kumupisa. Saka, Akagona kurasira zvivi zvedu pana Satani baba vezvivi.
Mudzimu mweya wemunhu akafa.
Jesu akamuka kubva kuvakafa paakakurira hondo yekuponeswa kwedu naSatani, Rufu, neGuva.
MARKO 1:10 Pakarepo achibuda mumvura wakavona denga rakazarurwa noMweya uchiburuka pamusoro pake senjiva
Achibuda mumvura zvaive mucherechedzo wekumuka kwake kubva kuvakafa.
VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
Kuzara kwovuMwari ndiwo Mweya waMwari unogara Maari pamuviri. Asi Mweya waMwari unogona kuenda kwese kwaunoda sezvinoita mufananidzo wechivhiti vhiti wemutambi unoonekwa chero nzvimbo inenge yakatungidzwa mutambo wemutambi iyeye.
Gwaiana raMwari (munhu Munhu Jesu) aive achizotungamirirwa nezodzo reNjiva, Mweya Mutsvene mukuru waMwari.
Iri izano raMwari. Vanhu vachatungamirirwa nekuratidzwa gwara neMweya waMwari unoshamisa unogara matiri nekutizodza kuti Mwari vatitungamirire.
MARKO 1:11 Inzwi rikabva kudenga richiti, Ndiwe Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofarira
MaKristu anoti Izwi rakabva kuna “Mwari baba”. Asi hapana kutaurwa nezva “Mwari Baba” muTestamente Itsva kana mumabhuku matatu eEvangeri raMateo, Marko, naRuka.
Ndiani aive baba vaJesu?
Munhu akaisa mbeu yehupenyu mumukadzi ndiye baba vemwana aanobereka.
MATEO 1:18 Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai, Maria mai vake, wakati anyengwa naJosefa, vasati vasangana, wakavonekwa ava nemimba noMweya Mutsvene
20 ... Josefa mwanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako, nokuti icho chakagamuchidzwa mukati make ndechoMweya Mutsvene
Saka, Mweya Mutsvene ndiwo Baba vaJesu.
Saka, waive Mweya Mutsvene wakataura paakadaidza munhu Jesu kuti “Mwanakomana wangu wandinodisa”.
Kubudirira kwaJesu semunhu kwaive kuterera kwake kusina mubvunzo kuMweya waMwari waigara maari nekumuzodza pamusoro pake.
Marko akazivisa Johane Mubapatidzi semuranda waMwari mukuru kwazvo akazunza Judea yese akabapatidza Jesu muvhesi 11. munhu uyu aive nesimba guru. Akarova Judea sechamupupuri chemweya.
Simba raidakadza, achiziva kuti aifanira kuita hunhu hupi ndizvo zvaimuita ave muranda mukuru.
Zvino Marko akazivisa Muranda mukuru. Jesu Pachake. Munhu wemabasa makuru asina kubvira azvitsaura kana kuzvinzwira tsitsi. Aiziva zvinangwa zvake Akafambisa Kuda kwaMwari neshungu dzakakura kwazvo.
MARKO 1:12 Pakarepo Mweya wakamubudisira kurenje
“Pakarepo”. Jesu aive asiri nyope. Aive Munhu wemabasa.
Kuda kwaMwari kwete kuda kwedu kwenyama.
Jesu akaisa muenzaniso paaishandiswa nemweya waMwari kubva kuzvido zvevanhu kana kumbiri.
Vanhu hatikuri kana takagarika.
Mune magarikwa mashoma kwazvo mumarenje.
Asi ndiko kwaiumbwa hunhu hwevanhu nemweya waMwari vachiita Kuda kwaMwari.
Rwendo rwakaoma ruri mberi. ChiKristu hachisi chembwende.