Marko 15 – Roma inouraya Shoko raMwari



Vanhu vechitendero vakawanda vari muguta rezvemweya, vakaparadza zvakaipisisa Munhu mukurusa akararama panyika.

First published on the 30th of January 2025 — Last updated on the 30th of January 2025

Vatungamiriri vezvitendero vanosunga Shoko raMwari

Jesu ndiye Shoko raMwari.

Mabatirwo akaitwa Jesu nevatungamiri vezvitendero ari Munhu pakuuya kwake kwekutanga ndizvo zviri kuitwa Bhaibheri reKing James Vezheni nevatungamiri vemakereke paKuuya Kwake kweChipiri.

MARKO 15:1 Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rese, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.

“Pakarepo”. Nguva iyoyo.

Pavakasvika pakusunga Shoko raMwari (Jesu) vatungamiri vechitendero chemaJuda vakazviita nekukasika.

Vatungamiri vemakereke nhasi vanoramba kuti Bhaibheri reKing Jame ndiro Mukuru uye vanokasika nekusimbisa kusunga kurudziro yeBhaibheri iroro kuti vanhu vamanikidzwe kuramba nekutuka Bhaibheri reKing James.

Vakashandura zvisiri pamuraro Bhaibheri reKing James kuriita maVezheni zana akasiyana eBhaibheri reChirungu.

Johane akaona zvisikwa zvipenyu zvina zvakakomberedza chigaro chehushe Kudenga.

ZVAKAZARURWA 4:2 Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.

ZVAKAZARURWA 4:6 Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.

7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka

 

 

Izvi zvinomiririra nhanho ina dzenhorondo yekereke. Mweya waKristu waive Shumba yerudzi rwaJuda, Mambo wezvisikwa zvese, zvakazivisa chokwadi chenguva yekereke yekutanga. Kuchibva kwauya Nguva refu yeRima, umo Mhuru yakakura kuva Nzombe yakasimba, chisikwa chinobairwa nyama, apo mamiriyoni evatendi vakauraiwa nekereke yeRoman Catholic.

Mweya waKristu wakakomborera dzidzo yeMunhu. Martin Luther akadzorera kuponeswa nenyasha kupfurikidza kutenda chete. John Wesley akadzorera hutsvene nekuparidzira, zvakatungamirira kusvika panguva yemamishinari.

Pakati pegore 1604 negore 1769, Mwari akakomborera dzidzo muvanhu nekunzwisisa saka vakagona kubuda nekuturikira kwakanaka chiGiriki nechiHeberu uyewo kuziva kuti voshandisa gwaro ripi. Vakaturikira nekuongorora Bhaibheri reKing James, nenguva yekuti vaite nheyo dzenguva yemamishinari dzakatumira Bhaibheri reKing James pasi rese.

Nguva yeGondo yemuono wemweya apo William Branham akatiratidza zvakavanzika zveMagwaro kuti tidzoke kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga yemadzibaba mapostora enguva yekereke yekutanga.

Pakupera kwenguva dzemakereke, Kuuya kweChipiri kusati kwasvika, Jesu Kristu ari Shoko raMwari ( Bhaibheri reKing James) achabatwa nenzira imwechete iyi sezvakaitwa Jesu nemaJuda paakanga ari munhu paKuuya kwake kweKutanga.

Vatungamiri vemakereke vakaramba kuturikirwa kwakaitwa Shoko nehama Branham asi vakasarudza kutipa ndudzi dzinodarika zana dzakasiyana dzemaBhaibheri akasiyana eChirungu. Hazvigoni kuwana chokwadi chakazara mudutu remhepo yemweya rakadai.

Vatungamiri vezvitendero vakaita chinhu chakaipa chisiri pamurairo chekusunga nekutonga Jesu.

Vaida kumuuraya nechikonzero chekumhura Mwari nekuti aive azviti aive Kristu, Mwanakomana wemunhu.

Zvisinei, vatungamiri vemaJuda vaiziva kuti maRoma vaisazomuuraya nekuda kwechikonzero ichocho, saka vakamupomera imwe mhosva isiri iyoyo vachikumbira kuti maRoma amuuraye. MaRoma ega ndiwo aive nesimba raidiwa kuti munhu auraiwe.

“Kanzuru yese” yevakuru vezvitendero yakabatana nechinangwa chimwechete.

“Vakasunga Jesu”.

Mweya mumwechete iwoyo uri kusunungurwa zvakare nhasi. Vatungamiri vemakereke nhasi vakabatana vane chinangwa chimwechete, chekusunga kurudziro ye Bhaibheri reKing James Vezheni. Vakaramba kubvuma kuti haritadzi uye iShoko raMwari rakarurama. Saka, vanotaura zvisina muganhu kuti rine zvakakanganiswa mariri, rinozvirwisa, ingano, uye rine zvimwe zvinhu zvisina musoro zvinoda kufuratirwa mariri.

MaKristu nhasi havagoni kutsigira zvavanotenda vachishandira Bhaibheri reKing James chete, Shoko raMwari.

Jesu, Shoko akaiswa kuna Pirato, mubati wezvematongerwo enyika.

Makereke nhasi vanobatirira pakuzviisa kunezvematongerwo enyika. Vakufanira kutendera wanano dzengochani, nevanhu vanozviti varume ivo vari vakadzi uye vanozviti vakadzi vari varume.

Makereke anobvumirana neShanduko yevanhu vachibva kumhuka netsananguro dzeBig Bang dzinoti kune zai rakaputika kuti denga nenyika zvivepo vachitenderana nedzimwe tsananguro dzese dzisimo muMagwaro dzinodiwa nevanhu maringe nemapfekero nemimhanzi.

MARKO 15:2 Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo weVaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.

Mubati weRoma Pirato aiwanzogara muKesaria.

 

 

Chikonzero chakaita kuti ange ari muJerusarema chaive chekuti aitya kumukira kwemaJuda nechikonzero chenhau dzechitendero. Vaiti kana kumukira uku kukatadza kudzoreka, mubati weRoma Tiberio aizomubvisa pachigaro.

Vatungamiriri vechiJuda vaizviziva saka vaiziva kuti kana vakagona kutsamwisa maJuda Pirato aizovapa mvumo yekuuraya Jesu kuti vasamumukire.

Pirato aizouraya Jesu kuti achengetedze basa rake semubati.

Vaparidzi vanoramba nekurwisa Bhaibheri reKing James kuti vachengetedze zvinzvimbo zvavo nemari dzavaiwana kukereke.

Vatungamiri vemaJuda vakapomera Jesu kuti aida kuzviita Mambo wemaJuda. Izvi zvaipikisa Mubati wemaRoma aifunga kuti aive mubati wevanhu vese.

Jesu aive asina kumbozviita Mambo, chero zvazvo aive apembererwa saMambo musi weSvondo yeMichindwi.

Saka vaive vamwe vanhu vaive vamudaidza kuti Mambo.

Saka akataura chinhu chimwechete ichi kuna Pirato. “Uri kundiidza Mambo, Ini handina kudaro”.

MARKO 15:3 Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.

Vatungamiriri vezvitendero vakamupomera zvinhu zvakawanda asi Jesu akavanyararira panhau dzavo dzekunyepa idzi.

MaKristu nhasi vanoshandura nhau vogadzira manyepo avo kuti vatsigire zvitendero zvavo zvisimo muMagwaro.

Vaudze kuti pasita haana kubvira aitwa kuti atungamirire kereke muTestamente Itsva vanokudaira kuti unongovenga mapasita.

Hachisi chokwadi. Havagoni kuzvirwira vachishandisa Magwaro saka vanopomera munhu nhema. Hakuna munhu anovenga pasita, asi tinopesana nepfungwa yekuti pasita ndiye musoro wekereke.

Kusimudzira munhu pamusoro pesangano kana ungano itsika dzevaNikoraiti. Izvi zvinobatawo murevhi, mushumiri, muprista, Bhishopu achibhishopu, kadhinari, kana Pope vanosimudzirwa kuiswa pamusoro pevanhu.

Kereke imwe neimwe panzvimbo inofanirwa kutungamirirwa neboka revakuru pakereke. Kwete kutungamirirwa nemunhu mumwechete ari musoro wekereke.

Jesu akangofuratira kupomera kwavo.

MARKO 15:4 Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!

Pirato akashamiswa naJesu kuti haana chaakataura kuzvipupurira.

MARKO 15:5 Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.

 

Vaida munhu werufu kwete Muchinda werugare

Kwaive netsika yekusunungura munhu anenge achiponerwa pamutambo wePaseka.

MARKO 15:6 Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.

Barabba aibva kuBar Abba, zvinoreva kuti “Mwanakomana wababa vake.”

Barabba aive muurayi, zvakamuita kuti ave mwanakomana waDiaborosi.

MARKO 15:7 Zvino kwakange kune wainzi Baraba, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.

Pachinzvimbo chekusarudza Jesu Muchinda weRugare, maJuda ese akadanidzira kuti Baraba asunungurwe chero akaenderera mberi achiba nekuvauraya.

MARKO 15:8 Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.

MARKO 15:9 Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo weVaJudha here?

Pirato aida hake kusunungura Jesu, aive Mambo wemaJuda. Pirato aiziva kuti Jesu aive asina mhaka.

MARKO 15:10 Nokuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.

Vatungamiri vechiJuda vakanga vane godo kwazvo nesimba raJesu rinoshamisa nezivo yaaive nayo pamusoro peMagwaro.

MARKO 15:11 Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Barabai.

Iri iGwaro rinosuwisa.

Vakasiirwa, maJuda vaive vagmuchira Jesu saMambo wavo musi weSvondo yeMichindwi.

Asi vatungamiri vezvitendero zvavo vakavakurudzira kuramba Jesu.

ZEKARIA 9:9 Fara kwazvo iwe mukunda waZioni, pururudza iwe mukunda weJerusarema; Tarira Mambo wako unouya kwauri, ndiye wakarurama, ndiye unokunda, unozvininipisa akatasva mbongoro iyo mhuru mwana wembongoro.

Chiprofita ichi chakazadziswa musi weSvondo yeMichindwi.

Jesu akaraira vadzidzi vaviri:

MATEO 21:2 achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.

Ruzhinji rwevanhu rwakagamuchira Jesu seMwanakomana waDavidi. Ndicho chinzvimbo chake ari Mambo.

MATEO 21:9 Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavidi! Wakaropafadzwa iye anouya muzita raIshe! Hosana kumusoro-soro!

Pirato akavapa sarudzo yakachenjera nekuti aiziva kuti vatungamiri vechiJuda vaive vachitadza.

Pirato akapa maJuda sarudzo musi weChina magwanani (musi wekugadzirira) Mambo mumwechete iyeye wavaive vapemberera musi weSvondo waive wadarika, yaive Svondo yeMichindwi.

Asi vanhu vamwechete ivavo vakamupemberera musi weSvondo ndivo vaichemera Ropa rake musi weChina.

Kusavimbika kwerudzi rwevanhu.

Ndiko kuita kwesimba revatungamiri vezvitendero zvechiJuda pamusoro pevanhu.

Chero nhasi, vanhu vanoramba Magwaro akanyorwa kuti vatevere vatungamiri vemakereke edu anhasi. Asi hapana pakati pevatungamiri vemakereke anogona kutsigira zvavanotenda zvese neBhaibheri.

MaKristu nhasi vanoramba kushoropodza vatungamiri vemakereke avo, asi vanozvipira kushoropodza zvavanoti zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James.

Vatungamiri vechitendero chechiJuda vakapisa ndangariro dzemaJuda kusvikira akumbira rufu rwaJesu.

Vatungamiriri vemakereke vanoti mune zvakakanganiswa muBhaibheri reKing James saka vanoita kuti vanhu vanovatevera vashoropodze Bhaibheri, Shoko raMwari parinotiudza ndangariro dzaJesu.

Zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvinoraswa kuti vanhu vafare.

MARKO 15:12 Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo weVaJuda?

Pirato haana kuona mhaka yaJesu.

Akaita chikanganiso chikuru. Akasarudza kufadza ruzhinji nekuvaudza kuti vasarudze zvavanoda neMunhu asina mhaka. Akavayeuchidza kuti hapana kana vhiki vadaidza Jesu kuti Mambo.

MARKO 15:13 Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!

Simba rehunyengeri revatungamiri vechiJuda raive rakakura kwazvo zvekuti rakaita kuti ruzhinji rwakarumbidza Jesu musi weSvondo yeMichindwi vamupandukire vade kudeura ropa rake musi weChina.

Izvi zvinotyisa kana takatarisa chimiro chekereke nhasi. Kune masangano 45,000 akasiyana nhasi ese akasiyana, asi imwe neimwe inotenda kuti ndiyo ine chokwadi. Ndiwo magumo ekuisa munhu pakutonga kereke. Angadai achidaidzwa kuti mushumiri murevhi, muprista kana pasita, akaisa ndangariro dzake pavanhu avo nemufaro vanofuratira, kurwisa, nekutuka zvimwe zvikamu zveBhaibheri. Vanhu vamwechete ivavo vanoramba munhu anoda kutevera Magwaro zvakazara.

I TIMOTIO 2:12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ave mukunyarara.

Mukadzi haatenderwi kuva mudzidzisi weBhaibheri achiudza varume zvekutenda mazviri. Asi nhasi, vakadzi vava vatungamiri vemakereke vanozviti mapasita emakereke.

Asi kurwisa Magwaro zvinoreva kuti kereke iri kuramba Shoko raMwari. Sezvakaita maJuda vakadzidziswa nevatungamiri vechitendero chavo kuramba Messiasi wavo.

MARKO 15:14 Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Muroverere pamuchinjikwa!

Pirato akavabvunza kuti aive atadzei. Havana kudaira mubvunzo uyu. Vakatosimbisa kuvenga kwavaive vaita Jesu.

MARKO 15:15 Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu kwavari, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.

Pirato akatya kwazvo kutsamwisa vanhu. Basa rake raive panjodzi. Aizvipira kuvapa chero chinhu chavanenge vati vanoda.

Vanhu vemakereke nhasi vanoda kodzero dzengochani, kuzvishandura kuva varume ivo vari vakadzi kana vakadzi ivo vari varume, kodzero dzekuparidza kumadzimai, nekupfeka zvavanoda. Chero chinhu chinorwisa Bhaibheri chinotenderwa saka zvinouraya kutenda kwevanhu muBhaibheri. Vatungamiri vemakereke vanodisa kwazvo kupa vanhu mvumo yekuita zvavanoda. Nenzira iyoyo mutungamiri anoramba ari pachinzvimbo chake nekuti havana chavanotaura chinokanganisa vanhu.

Asi vanotuka mavhesi eBhaibheri akaita saMabasa 2:38.

MABASA 2:38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.

Gwaro iri rinorambwa nemakereke. Vanoti kukanganisa. Asi Bhaibheri iShoko raMwari. Saka vanenge vachiti Mwari vakakanganisa.

 

Minzwa yaive chituko ikabata Ropa raJesu

MARKO 15:16 Zvino mauto akamuisa mukati mechivanze, chinova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yese pamwe;

Zvakutyisa. Pakarepo simba rekutonga rinopihwa kumauto. Mauto vaiita mabasa akaipa kwazvo ekuuraya vasungwa ndivo vaive vanyengeri vakuru muHushe hweRoma.

Ruvazhe rwaive chikamu chemusha wemutungamiriri weRoma maaigara muJerusarema. Saka, mutungamiriri aiziva kusabata Jesu zvakanaka kwese kwaiitwa. Mutungamiriri haana kumuwanira mhosva. Vanhu vakangokumbira rufu rwake vasina humbowo hwemhosva yake, mauto aive nehutsinye akamunyadzisa vakamurwadzisa.

MARKO 15:17 vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yeminzwa, vakaisa paari.

Ruvara rwehute (rwepepo) rwaive ruvara rwaipfekwa neMubati. Saka, ruvara rwehute rwaingova kumutsvinyira kuti aive Mambo wemaJuda.

Maorivhi ndeeruvara rweshizha nyoro, kana aibva anoita ruvara rwehute (pepo) kana rutema.

Ruvara rwegirini ruvara rwunomiririra hupenyu hwatinoona muhuswa nemashizha emiti girini inotora chiedza chezuva yochishandura zvinoshamisa, kuita, chikafu. Saka, girini rwaive ruvara rwaimiririra Jesu apo aidzidzisa vanhu pamusoro peHupenyu husingagumi. Asi ipapo, muGetsimani, akabvuma kutora zvivi zvedu. Maorivhi anoita ruvara rwehute paanoibva. Mafuta emaorivhi mucherechedzo weMweya Mutsvene wakasvinwa kubva muna Jesu nekurwadziwa kwake kuti Mweya Mutsvene uuye mumoyo yedu inenge yatendeuka.

Kupfekedza Jesu ruvara rwepepo kwaive kwakafanira. Aive akatakura zvivi zvedu zvaaifanira kufira.

Aive achiri mangwanani. Nenguva dza 9 (nguva dzedu dzevaHedeni) vaizomurovera. Ipapo masikati, pasi rese rakava nerima dema apo zuva rakaramba kupenya kwemaawa matatu. Uku kwaive kusiri kuora kwezuva, nekuti kuora kwezuva kwakaitika kwakarebesa kunotora maminesi manomwe. Uku kwaive kurwisana pakati peHupenyu nerufu apo Mweya waKristu wakarwisana nemasimba eRima.

Mambo vanopfeka korona. Saka, mapazi matatu eminzwa akarukwa akaitwa korona ikamanikidzirwa mumusoro wake kusvikira atanga kubuda ropa.

Kutuka kwezvivi panyika kwaive kwekuiita kuti ibereke minzwa.

GENESISI 3:17 Kumunhu akati, Zvawakateerera izwi romukadzi wako ukadya muti wandakakuraira ndichiti: Usadya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nekutambudzika mazuva ose ehupenyu hwako

18 uchakuberekera minzwa novutumbambeva;

Apa minzwa yaive yabata Ropa raJesu, rinobvisa kutukwa kwese. Rimwe zuva, muMumereniyamu nenyika itsva, kuchange kusina minzwa.

Saka, pakumutsvinyira nekumurwadzisa neminzwa, vaitoita basa raMwari mukusaziva.

 

Simoni akamanikidzwa kutakura muchinjikwa asingadi

Vakaita chinhu chakanaka nekumupembedza kuti Mambo, asi vakazviita vachiti vari kumutsvinyira.

MARKO 15:18 Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo weVaJudha!

Jesu aive Shoko raMwari, Bhaibheri.

MaKristu nhasi vanoenda neBhaibheri kukereke zvinova zvakanaka, asi vanobva vatenda kuti mune zvakakanganiswa muBhaibheri, zvinosvora Shoko raMwari vachiti riri pasi pemafungiro evanhu.

MARKO 15:19 Vakamurova musoro nerutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.

Kumurova pakorona vaiti vari kmurwadzisa. Vakamutsvinyira vachitomunamata. Mate avo paari aive mucherechedzo. Jesu chingwa cheHupenyu. Hamugoni kmedza chingwa musina kutsenga chingwa chichiputirwa nemate. Kuputirwa nemate zvinoreva kuti Jesu aive Chingwa cheHupenyu chatinotsenga nekudzeya nekutenda muShoko raMwari. Jesu ndiye Shoko.

Asi kutaura kuti mune zvakakanganswa muBhaibheri zvinoreva kuti vari kutaura kuti Bhaibheri reKing James harisiro Shoko raMwari risingatadzi. Saka vanokotamisa mabvi avo vachitsvinyira vachimukudza nekuti zvese zvaunotaura pamusoro peBhaibheri reKing James munenge muchitaura pamusoro paJesu. Kana muine zvakakanganiswa mundangariro dzake, zvinoreva kuti haasi Mwari. Mwari haatadzi.

MARKO 15:20 Zvino vakati vamuseka, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kunomuroverera pamuchinjikwa.

Kuseka Jesu zvaive zvisina kukwana. Vaifanira kumuuraya. Saka makereke anoita zvaanogona kuparadza kuvimba kupi nekupi kunenge kuine vanhu kwekuti Bhaibheri reKing James rakarurama riri Chokwadi chikuru. Saka, maKristu haachaedzi kutsigira zvaanotenda achishandira Bhaibheri reKing James.

Kutuka kana kushora Bhaibheri reKing James uri pamberi pevanhu uchiparidza kuroverera Kristu mumazuva edu. Kutaura kwekuti pane zvakanganiswa muBhaibheri ndiko kuroverera Jesu nezvipikiri kwezuva ranhasi. Vanhu havachatendi mune zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvavanofunga kuti zvakaipa. Kusatenda uku kunoreva kuti Jesu haagoni kuvabatsira kusangana nechokwadi.

63-0707 KUPOMERWA MHOSVA
Regai tione zvino, Hongu, baba. Danai kutendeuka, nekupomerwa kwangu.
Karuvhari itsva iyi ikereke, inodaidzwa, Nzvimbo tsvene, purupeti huru, aritari yechiCatholic, aritari yeCatholic, kudana purupeti yavo. Methodisti, Baptisiti, Presibeterio, vekwaLuther, vePentekositi, nzvimbo tsvene tsvene ikoko akagashira mavanga ake makuru. Karuvhari itsva! Inowanikwepi? Munzvimbo tsvene, kereke. Akarovererwepi? Kubva kumapasita. Vanyengeri, munoziva zviri nani!

Handina kutsamwa, asi pane chiri kumutswa mukati mangu. Mwari vari kuratidzwa pakati penyu zvakazara.
Akawanepi miseve yake, murutivi rwake? Akawanepi mavanga ake? PaKaruvhari. Nhasi ari kumawana kupi? Papurupeti. Ari kubva kupi? Jerusarema. Ari kubva kupi? Mumasangano. Vanoti vanomuda, ndivo vari kuzviita. Vanozviita nhasi. Karuvhari yechipiri, paanogamuchira mavanga ake anopikisa Shoko rake, ndizvo zviri kumupa mavanga. Ndiyani? Ndiye Shoko. Ndiye Shoko.

Mavanga akanyanya kuipa ari kubvepi? Papurupeti munzvimbo tsvene, sezvazvaive nguva iya.

MARKO 15:21 Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.

Marko ndiro Evangeri rechipiri. Mhuru chisikwa chipenyu chechipiri pazvisikwa zvakapoteredza chigaro cheHushe kuna Zvakazarurwa Chitsauko 4. Mhuru inokura kuita Dhonza rakasimba rinotakura mutoro.

Iri igwaro rinosuwisa. Simoni akaita chinhu chakanaka nekubatsira Jesu paaida rubatsiro. Asi akamanikidzwa kuzviita. Zvinoreva kuti isu vanhu hatina chido chinobva pakuda kwedu kuita Kuda kwaMwari. Mwari vanotimanikidza kuita Kuda kwavo zvinopesana neKuda kwedu.

Nemamwe mazwi, hatigoni kushandira Mwari kunze kwekunge tafa kukuda kwedu.

MARKO 15:22 Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.

Dehenya chiratidzo cherufu chinotyisa.

 

Waini kusimudzwa kwezaruriro

MARKO 15:23 Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti anwe, asi haana kugamuchira.

Uku kwaive kumwe kurwadziswa kweMunhu aive adeura ropa rakawandisa saka aizova nenyota yakanyanya. Mura inonhuwirira zvakanaka asi inoisa kumwe kuipa kwakashata kuwaini, zvekuti inenge isingamwiki.

Mura mucherechedzo werufu sezvo ichishandiswa kuzodza zvitunha.

Waini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro.

Waini, yakaipiswa nemura, mucherechedzo weRoma yemapegani achiita zvese zvaanogona kuuraya kusimudzwa kwezaruriro. ChiRoman Catholic chakagadzira tsananguro dzakaitwa nevanhu dzakaita seTiriniti Kisimusi, dzinova mazano emapegani. Izvi zvinouraya kukura kwekusimudzwa kwezaruriro. Izvi zvinoita kuti tigashire mazano asimo muMagwaro sechokwadi, saka tinokurudzirwa nemazano asimo muMagwaro. Izvozvo zvinokonzera kuti tipikise kana kuramba Magwaro.

Mwari weTiriniti haana zita sezvo musingagoni kuwana zita rimwechete rekudaidza Vanhu vatatu. Munobva maramba rubapatidzo rwemvura muzita raJesu Kristu (Mabasa 2:38) apo munogoma makutenda muna Baba, Mwanakomana naMweya Mutsvene kuti izita pachinzvimbo chekuti zvinzvimbo zvitatu.

Mabasa 15:21 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubhabhatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.

39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.

 

Mateo 28:19 inoti tibapatidzwe muzita raBaba Mwanakomana, naMweya Mutsvene. Saka munofanira kutsvaga zita rezvinzvimbo zvitatu izvi.

Kutenda muTiriniti zvinoreva kuti hamuwani zita rimwechete rekudaidza Mwari.

Kunyanya nekuti Mweya Mutsvene hauna zita muMagwaro.

MuTestamente Yekare, hamuna kutaurwa kuti “Mwari Baba”. Mazita ese aBaba muTestamente Yekare haana kutaurwa muTestamente Itsva.

Hakuna “Mwari Mwanakomana” muBhaibheri.

Hakuna “Mwari Mweya Mutsvene” muBhaibheri.

“Mwari Baba” zvakataurwa chete muTestamente Itsva. Mwari weTiriniti haagoni kutsanangura zvinhu izvi.

Hatina kubvira tanzi tipemberere kuzvarwa kwaKristu mu Bhaibheri.

25 Zvita izuva rakaberekwa mwari wezuva wemapegani zvakazviswa muna AD 274 nemubati weRoma yemapegani Aurelian.

MaRoman Catholic akatora zuva iri gore rakapoteredza AD 350 kuriita zuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari.

Nekuti makereke anopikisa chiCatholic akabuda mukereke yeRoma munguva yeMutsiridzo, kereke yeRoman Catholic inozvitora sandiyo mai vemakereke.

Kutora zvakavanzika zvemapegani zveBabironi, kereke yeRoman Catholic inodaidzwa kuti Babironi rakavanzika. Asi yakapawo dzidziso dzayo dzechipegani dzakafanana neTiriniti neKisimusi kuvanasikana vayo vasiri maCatholic.

EZEKIERI 16:44 Tarira, umwe neumwe anobata neshumo uchabata neshumo iyi pamusoro pako, achiti: Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.

ZVAKAZARURWA 17:5 Nepahuma yake pakange pakanyorwa zita rekuti: CHAKAVANZIKA, BHABHIRONI GURU, MAI VEMHOMBWE NEZVINOSEMESA ZVENYIKA.

Uku kupomerwa kunodakadza kuri kuitwa makereke edu anhasi akasiya kutsigira zvavanotenda vachishandisa Bhaibheri reKing James.

MARKO 15:24 Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe achatorei.

Chinhu chakaipa chaive chaitwa. Kwakauya chiitiko chinosvodesa chemakaro.

Vakabvarura nguwo dzake nekuti vaive varindi vechiRoma vana. Kota yenguwo inoshandei? Zvishomanana.

Nekuti vaive nemweya wenjuga, vakakanda mijenya kuti ndiyani aizotora nguwo yake yekunze.

JOHANE 19:23 Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; neshatiwo; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yese kubva kumusoro.

24 Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechekupfeka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.

MARKO 15:25 Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.

Kwaive nenzira mbiri dzekuziva kuti inguvai.

Mazuva eRoma anotanga pakati pehusiku.

Mazuva emaJuda anotanga pakubuda kwezuva kuma 6 dzemangwanani.

Saka vakaroverera Jesu pamuchinjikwa nguva yenhatu mushure mekubuda kwezuva munguva dzemaJuda, awa rechipfumbamwe panguva dzedu dzechiRoma.

Evangeri raJohane raishandisa nguva yevaRoma kuratidza nguva dzakapa Pirato Jesu kuti arovererwe.

JOHANE 19:14 Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuVaJuda: Tarirai Mambo wenyu!

Idzi inguva dza6 mangwanani.

Saka, mutongo wakaitwa chiedza chezuva chisati chabuda zvaive zvisiri pamutemo nekuti hakuna mutongo ungaitwe murima.

MARKO 15:26 Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, rwuchiti:

Pamusoro pemuchinjikwa, pamusoro pemusoro wake, paive pakaiswa rugwaro rwakanzi “Mambo wemaJuda”.

Zvinosuwisa. MaJuda akakumbira rufu rwaMambo wavo.

MARKO 15:27 Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.

Josefa aive musungwa kuEgipita arinevamwe vasungwa vaviri, mubiki wechingwa akafa nemudiri wewaini akararama, saka Jesu aive pamuchinjikwa nembavha mbiri. Mbavha imwechete yakaramba Jesu akafa akaenda kugehena, mucherechedzo wekugurwa kwechingwa nemubiki. Mbavha imwechete akatambira Jesu akaenda kuparadhiso mucherechedzo wemweya wehupenyu uri muwaini.

MARKO 15:28 Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.

ISAYA 53:12 Saka ndichamuganhurira mugove pamwe nevakuru, uchagoverana zvapambwa navanesimba, nokuti wakadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki kunyangwe zvakadaro wakatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.

 

Jesu akapomerwa mhosva dzaasina kupara

MARKO 15:29 Nevaipfuura vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,

Uku kwaive kupomerwa nhema. Jesu haana kubvira ati aizoparadza Tembere.

Jesu akati kana vatungamiri vechiJuda vakaparadza Tembere yeMuviri wake, aizoimutsa mumazuva matatu.

JOHANE 2:19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.

JOHANE 2:21 Asi iye waireva zvetembere yemuviri wake.

MARKO 15:30 zviponese, uburuke pamuchinjikwa!

MaJuda akarasika panhau iyi. Jesu aisada kubva pamuchinjikwa kuti azviponese iye. Aida kugara pamuchinjikwa kuti aponese isu.

MARKO 15:31 Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamuseka pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, haagoni kuzviponesa.

Mutungamiri wechitendero mukuru, sevariko nhasi, vaingoda kuchengetedza zvinzvimbo zvavo nemari dzavo. (vakamuuraya musi wechina nekuti aive adzingira kunze kwetembere kaviri kese vaitsinhana mari. Musi weSvondo yeMichindwi nezuva rakatevera racho zvakare raive Muvhuro.)

Vatungamiri vechiJuda vakafunga kuti ruponeso rwaive pakuti Jesu azviponese iye.

MARKO 15:32 Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.

Kubva pamuchinjikwa kwaizokurira Zano raMwari guru reruponeso. Saka vatungamiri vechitendero chechiJuda vaiparidza pfungwa dzaizozvidza vanhu. Vanhu vaizoponeswa chete kana Jesu agara pamuchinjiko.

Nhasi, vatungamiri vemakereke vanoparidza zvinhu zvakawanda zvisimo muMagwaro zvinoparadza kutenda kwevanhu muShoko raMwari rakanyorwa.

Tarirai tsika nezvitendero zvemakereke zvisimo muMagwaro zvinotevera:

Tiriniti. Kisimusi. 25 Zvita. Mwari mumwe muVanhu vatatu. Mwari Mwanakomana. Munhu wechipiri mukuzara kwehuMwari. Jesu ndiye Kuzara kwehuMwari. Kupemberera kuzvarwa kwaIshe. Chishanu chakanaka. Muvhuro weIsita. Mazai eIsta. Mabhani eIsita. Mabhanzi ane muchinjikwa anopisa. Pasita ndiye musoro wekereke. Wanano yemukadzi nemukadzi kana murume nemurume. Ikozvino munhu anokwanisa kusarudza kuti mukadzi here kana kuti murume. Zvaunotenda ndicho chokwadi chako.”

Makereke anotenda kuti unogona kuroora zviri pamutemo, woramba mumwe wako woroora zvakare.

Kutsanangura Kutinhira kunomwe kusina kunyorwa muBhaibheri muenzaniso wakanaka wemharidzo dzisimo muMagwaro.

Zita idzva raJesu nechakavanzika cheKuuya Kwake kweChipiri hazvina kunyorwa muBhaibheri. Vatungamiriri vemakereke vanoparidza panhau idzodzo vari kunze kweBhaibheri saka havateveri Magwaro.

Dzidziso dzisimo muMagwaro dzinonyengera maKristu akaponeswa dzovavhurira kutukwa kunovaisa kurufu rwenguva yeKutambudzika kukuru chero hazvo, nekuti vakaponeswa, vachapinda Denga musi weKutongwa asi vasiri nhengo dzeMwenga.

MARKO 15:33 Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.

Nguva dzechiJuda dzinotanga panobuda zuva na6 mangwanani.

Nguva yechitanhatu inoreva kuti unowedzera mamwe maawa 6. Inozova nguva yemasikati na12.

Nguva yechi 9 inenge iri maawa matatu anotevera, nguva dzenhatu masikati.

Zuva rakaramba kuvhenekera nyika apo masimba erima aiuraya Jesu. Aive maawa matatu erima guru. Ukaparadza chiedza, munoguma mave murima zvinoreva kuti muri kunze kweChiedza.

Uku kwaive kusiri kuora kwezuva. Kuora kwezuva kwakarebesa kwaive maminetsi manomwe chete.

Maawa matatu erima raive simba raMwari rakaramba kuti zuva rivheneke. Hakuna tsananguro dzesainzi dzinogona kutsanangura chishamiso ichocho.

Vatungamiri vechitendero chechiJuda nevezvematongerwo enyika vechiRoma vaive vataura zvavo. Chibereko chekupedzisira chekuda kwavo chaive kuparadzwa kweShoko raMwari (Jesu ndiye Shoko) nepasi rese riri murima rakazara. Ndizvo zvinoita hutungamiri hwevanhu.

 

Mwari haasi Mwari wevatadzi

MARKO 15:34 Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?

Jesu aive akatakura zvivi zvedu kuti aripire muripo wezvivi.

Mwari Baba vakagara muMwanakomana waMwari. (hakuna “Mwari Mwanakomana” muBhaibheri.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwehuMwari kunogara maari pamuviri.

Mweya waMwari unoshamisa wakagara mumunhu Jesu. Zvino nekuti Jesu aive akataura zvivi zvakasviba, Baba vanoshamisa vakavanza chiso chavo kubva kumunhu Jesu vakaramba kutaura Naye. Jesu aifanira kufa ari Munhu, orasa vatadzi.

Jesu akasiiwa neMweya waMwari unoshamisa waigara maari wakaramba kutaurirana Naye. Mwari havasi Mwari wevatadzi.

Vatadzi havana nhaka kuna Mwari kunze kwekunge vagamuchira Mwari saIshe naMuponesi wavo.

Mwari ndiMwari wevatadzi vakatendeuka chete.

Munhu Jesu akava mutadzi nekuda kwedu, paakafa, akatsvaga kutaurirana naBaba vaigara maari.

Iyi iyambiro huru huvatadzi. Kana vakafa, vachademba kuti dai vakatendeuka vakataura naMwari.

Kana iri ongororo.

Mune ndangariro dzinoshanda muchiziva (Mwanakomana) nendangariro dzamusingagoni kudzora ( Baba) dzinogona kutaurirana. Kana ndangariro dzamunogona kudzora dzikakanganwa chimwe chinhu, ndangariro dzenyu dzamusingagoni kudzora dziya dzinoronda pfungwa iyoyo mundanganriro dzenyu, zvinotanga kudzoka mundangariro dzenyu dzamunodzora dziya.

Kunzwa kwemoyo wenyu chikamu chendangariro dzenyu dzamusingagoni kudzora, tese takambosangana nepatinozvipikisa apo ndangariro dzedu dzatinodzora dzinopokana nendangariro dzatisina simba pamusoro padzo.

ISAYA 59:2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.

MARKO 15:35 Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, anodana Eria.

MaJuda haana kunzwisisa Jesu zvachose. Aiti, “Mwari wangu”. Vakatadza kumunzwisisa vakafunga kuti aidaidza Erija muprofita.

Pedyo nekupera kwenguva nomwe dzemakereke vanhu vachatadza kunzwisisa zvakazara zvakavanzika zveShoko raMwari zvakaziviswa.

MARKO 15:36 Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti anwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.

Muuto umwechete akaratidza tsitsi nekupa Jesu kuti amwe vhiniga.

Vamwe vese vakati, “Regai”. Muregeri. Musiyei, tichaona kana Erija akauya kuzomubatsira.

MATEO 27:48 Pakarepo umwe wavo akamhanya, akatora chipanje, akazadza nevhiniga ndokuisa parutsanga, akamupa kuti anwe.

49 Asi vamwe vakati: Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.

Kumupa vhiniga zvakaitirwa kuzadzisa Magwaro.

MAPISAREMA 69:21 Vakandipa nduru zvive zvokudya zvangu; pakunzwa nyota kwangu vakandimwisa vinega.

 

Kuchema kukuru pakupedzisira sekuchema kwevasikana vane gumi

MARKO 15:37 Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.

Magumo ehushumiri hwake kwaive kudanidzira kukuru. Akabva afa.

Kuguma kwehushumiri hweMwenga kuchava nekudanidzira kukuru kuchamutsa vasikana vakachenjera vakavata kwovaudza kuti vabude mune chero kereke yavanenge vari.

MATEO 25:5 Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.

6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!

MARKO 15:38 Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.

Mwari vanobva vataura kuti Murairo weTestamente yekare waguma.

Zvipiriso zvemhuka zvese zvakaguma nekuti Jesu akaripira chipiriso chikuru.

MuTestamente Yekare, chivi chemuJuda chaiyambukira kumhuka, kururama kwemhuka kwopinda mumuJuda. Asi hupenyu hwemhuka yakarurama hawaigona kuyambukira kunopinda mumuJuda hwobvisa rudo rwekutadza.

Jesu paakafa, zvivi zvedu zvakayambukira kupinda maari saka Mweya Mutsvene wake waizozvitora kuenda nazvo kugehena kunozvirasira pana Diaborosi. Kururama kwake kukayambukira kwatiri kuti tive vatsvene vakarurama.

Nekuti Jesu ari Munhu Mweya wake waizoyambukira kupinda mumoyo yedu kuti urarame matiri wobvisa rudo rwekutadza matiri. Saka, rubapatidzo rweMweya Mutsvene ndiro Sabata rezororo. Zororo kubva kuzvivi nekusatenda.

Aive Kefasi muPrista Mukuru akagumisa Murairo nekubvarura nguwo dzake. Izvi zvakaputsa Murairo.

Mwari vakazivisa kuti Murairo waive waguma nekubvarura chidzitiro cheTembere.

MARKO 14:63 Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu?

REVTIKO 10:6 Zvino Mosesi akati kuna Aroni nekuna Eriarazi, nokuna Itamari, vanakomana vake; Musasunungura vhudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu; kuti murege kufa, naiye arege kutsamwira vungano yose.

Mupurista mukuru aisatenderwa kubvarura nguva dzake.

MARKO 15:39 Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira zvakadaro akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.

Muuto weRoma aive asiri muuto akanaka. Hwaive huwori hweRoma hwaiita zvekuuraya vapari vemhosva. Asi muuto wechipegani aive akaoma moyo uyu akaziva kuti pane chinhu chive chakasarudzika pana Jesu. Zvakadaro, vese vasingatendi nevanozvidza havana chikonzero kana vasina kuziva kuti pane chinhu chinotambirika pahupenyu hwaJesu nerufu rwake.

 

Mhuri dzevanhu vakakosha hadzina kukosha

MATEO 27:56 Pakati pavo paiva naMaria Magidharini, naMaria mai vaJakobo naJose, namai vevanakomana vaZebedi.

Vana vaZebedi vave vaviri vevadzidzi vakuru , Jakobo naJohane.

MATEO 10:2 Zvino mazita evaapositori gumi nevaviri ndiwawa: Wekutanga, Simoni, anonzi Petro, naAndiriya munin'ina wake; Jakobo waZebedi, naJohane munin'ina wake;

Andreya ndiye ega mudzidzi waJohane Mubapatidzi akazoita mudzidzi waJesu pakati pevane gumi nevaviri. Asi Andreya haana kubvira aita umwe wevadzidzi vatatu vepamusoro soro.

Saka, kuita muteveri mukuru waWilliam Branham hakukuitei kuti muve muteveri mukuru weShoko raMwari rakaziviswa. Jesu anoziviswa nhasi ari Bhaibheri reKing James rakaziviswa. Chakavanzika chaMwari ndechekuti kereke yekupedzisira inofanira kudzorerwa kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemapostora. Hazvibvi pakuti tiri pedyo sei naWilliam Branham ari munhu.

Kuna Mato 27:56 Maria Magadarini akatanga kutaurwa asi haana hukama nechero muprofita. Maria mai vaJakobo, aivewo mwanakomana waArifiosi. Saka, Maria wechipiri aive mukadzi waArifiosi.

Mutsetse wevadzidzi unoti:

MATEO 10:3 Jakobo mwanakomana waArifiosi

Akapedzisira kutaurwa ndimai vaJakobo naJohane. Zita ravo harina kana kutaurwa. Saka nekuti ihama yepedyo yemaprofita matatu makuru hazvina kumuita akakosha.

Madzimai emapostora akataurwa vachibva nekumashure. Mai vemaprofita maviri akakosha vakapedzisira kutaurwa, zita ravo harina kutaurwa. Pasati pataurwa mai vasina kutaurwa nezita, vaJakobo naJohane, Mateo akataura zita raMaria, mukadzi waArifiosi, asi vaJakobo asinganyanyi kutaurwa nezita risina kukosha Josesi aive asiri mupostora. (Mapostora maviri aive nezita rekuti Jakobo). (Mapostora maviri ive nezita rekuti Judasi).

Zita ramai vemunhu asina kukosha rakataurwa mai vasina zita vasati vataurwa vaive mai vevanhu vakakosha.

Saka, makakosha sei kana muri hama dzepedyo dzemunhu waMwari? Zviri pachena hamuna kukosha zvekudaro.

Akatanga kutaurwa, zvese zita rekutanga neremhuri yake, aive Maria Magadarini aive asina hukama nemapostora.

MARKO 15:40 Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidariniwo, naMaria mai vaJakobo mudiki naJose, naSarome,

Marko akaisa kukosha pana Kristu seMuranda, mhuru yakakura kuita Nzombe yaizogona kutakura zvivi zvedu kuenda nazvo kure kure kugehena kunozvirasira pana Diaborosi. Saka Jesu aive mbudzi yekurasirira.

Nekudaro, Marko akaisa kukosha pakushandira Mwari.

Akatanga kutaurwa ndiMaria Magadarini asina hukama nemapostora. Kuchitevera Maria mai vemupostora Jakobo asinganyanye kutaurwa semupostora Jakobo akakosha.

“Mai vaJakobo asinganyanyi kutaurwa naJosesi.” Marko akaisa kukosha pakuti akataura zita raamai vemupostora asina kukosha zvakanyanya. Zvekuti Marko akataura Maria achiti vaive mai vaJosesi aive asiri mupostora. Mai vemupostora asina kukosha vakakosha kudarika mai vemupostora akakosha nekuti mai vemupostora akakosha Jakobo naJohane havana kutaura naMarko. Akasarudza kutaura Salome, mukadzi asina kuzivikanwa, akataurwa kaviri chete naMarko.

Saka, vatendi vasingazivikanwe vasingaonekwe ndivo vanochengeterwa nhau dzavo naMwari. Vanoita basa pakupedzisira.

Vakadzi ava (vakamiririra kereke) vakamira kure. Asi vaivepo.

Nhasi makereke akazviisa kure neShoko, akaramba kubapatidzwa nezita raJesu Kristu, kana tichitora kuna Mabasa 2:38. asi vakawanda vanoponeswa, saka vane chokwadi.

Mabasa aMwari akakosha haaitwi nevanhu vepedyo nemhuri dzevanhu vakakosha.

Kuzivikanwa nekuda kwemhuri dzedu hakutiite vakakosha.

MARKO 15:41 (avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.

Mumwe mukadzi akatevera akabatsira Jesu. Hatizivi kuti aive ani asi zvinoratidza kuti Jesu agara aive nevanhu vaimutevera vachimubatsira vasingatsvage mbiri vachitorarama hupenyu huno vasina kuzivikanwa kana kuita mbiri.

Kuzvikoshesa hakuna chakunoita mumutsetse wemazita akataurwa naMarko. Ndicho chimwe chakavanzika chekubatira Mwari kunobudirira.

MARKO 15:42 Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,

Zuva regumi rekusarudza gwayana rePaseka raive Svondo yemichindwi. Kuuraiwa kwegwayana kwaizoitwa zuva rechi14, raizova China. Ndiro zuva rekugadzirira apo gwayana raiurayiwa rogochwa.

Nenguva dza 1800 (nguva dzedu isu) kana 6 musi weChina madekwana, zuva raishanduka kumaJuda Chishanu chavo chotanga. Chishanu raive zuva reMutambo wePaseka uye reMutambu wezvingwa zvisina Mbiriso raive zuva rekutanga remazuva manomwe ezvingwa zvisina mbiriso.

Chingwa chisina mbiriso mucherechedzo wehutsvene nekururama kwaKristu munguva nomwe dzemakereke. Kwaive nekukosha kwakasarudzika pazuva rekutanga, nguva yekereke yekutanga, sezvo yaive iyo yega nguva yaive nechokwadi chakazara. Saka, nguva nomwe dzemakereke dzaifanira kudzokera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga yaive nechokwadi chese.

Zuva rechiJuda rinotanga madekwana.

GENESISI 1:5 Madekwani akavapo mangwanani akavapo zuva rimwe.

Pamweya, chiedza chemadekwana pakupedzisira kwenguva dzemakereke, kana zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri reKing James zvaziviswa, chichatora Mwenga kuenda naye kuKuuya kweChipiri. Mwenga anosiya nyika kuenda kumuchato Kudenga.

Saka Mwenga haaoni rima rehusiku hwenguva yeKutambudzika Kukuru.

Mwenga anodzokera panyika kunogadzirira kutanga kwemagwanani ezuva reMereniyamu, rinotora makore 1000.

MARKO 15:43 Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari; wakauya akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.

Pakati pevatungamiri vechiJuda vaive nehuwori, Mwari aive achiri nevanhu vanoremekedzeka vaikwanisa kupa dzidziso yekunamata. Josefa aiziva Jesu kuti aive asiri munhuwo zvake, saka nekudaro, aida kuti ave nebasa kupfurikidza kuviga Jesu zvakanaka.

MARKO 15:44 Pirato akashamisika nokuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.

Pirato haana kutenda kuti Jesu seShoko raMwari aifa nekukasika kudaro. Akaziva kuti maRoma atora Jesu kuti amuuraye, saka akabvunza vaRoma kuti Jesu aive afa zvedi here. Zvakafanana, nhasi zvitendero netsika dzakaitwa nevanhu zvechitendero cheRoman Catholic ndizvozviri kuparidzira makereke asiri maCatholic nekuuraya kurudziro yeBhaibheri rakaziviswa reKing James.

Zvakaoma kutenda kuti vakakwanisa kuita kuti makereke anopikisa arambe Bhaibheri reKing James nekukasika kudaro.

MARKO 15:45 Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.

Ndicho chinhu chimwechete chinogona kuzopihwa neRoma. Mutumbi. Kuuraya chokwadi ndicho chinangwa chavo chikuru.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23