Marko 14 Chikamu 2 Kristu ega ndiye anogona kuripira muripo



Petro anomiririra mutungamiriri wekereke yevasikana mapenzi. Kutevera Jesu, Shoko, nechekure asi vachirambawo Shoko.

First published on the 22nd of January 2025 — Last updated on the 22nd of January 2025

Munda weGetsimani wakatangawo kuripira zvivi zveMunda weEdeni

 

MARKO 14:32 Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichinonyengetera.

“Garai”. Zvino zvavaive vatarisana nenhau huru, hakuna chaive chichagona kuitwa nevadzidzi vake.

Vaive vasina simba mazviri.

Mukurwa pakati peHupenyu neRufu, Jesu ega ndiye anogona kukurira hondo iyi.

 

 

Getsimani zvinoreva kuti “chisviniro chemafuta”.

Getsimani ndiko kwakatangira nhanho dzeruponeso. Jesu aifanira kutora mutoro wezvivi zvedu zvakasviba kwazvo ozvitakura.

Kumanikidza kwekusvinwa pamusoro Pake kwakamusiya asina hutiziro asi kunamata.

Zvaive zvakaita sekuti Mweya Mutsvene waisvinwa kubva muMunhu Jesu paairipira zvivi zvedu. Ipapo, mumashure mekumuka kwake kubva kuvakafa, Mweya Mutsvene iwoyo waizodzoka wogara mumoyo yevatendi vake vakaita nguva yekereke yekutanga.

Mawonde mambishi anoibva oshanduka ruvara kuita pepo ozoita ruvara rutema. Anozokuiwa kuti vagadzire mafuta.

JOHANE 19:1 Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.

2 Zvino mauto akaruka korona yeminzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo ine ruvara rwehute.

Jesu aive akafukidzwa nenguwo yepepo inodaidzwa kuti shava kwechinguvana akarangirwa zvivi zvedu pamuchinjiko zuva parakadzima kukasviba kwemaawa matatu. Uku kwaive kusiri kuora kwezuva nekuti kuwora kwezuva hakutori nguva inodarika maminetsi manomwe kune chero nzvimbo.

MARKO 15:33 Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yese kusvikira paawa repfumbamwe.

KuGetsimani, esu aigadziririra marwadzo nekutya zvaive mberi.

Vadzidzi vaive varume vakasimba. Panofanira pakaita mweya weKutya mukuru wakaita kuti vatize.

MARKO 14:33 Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.

Petro, Jakobo naJohane vanokwanisa kuyananiswa neKutenda, Tariro, Tsitsi, neRudo.

Kutenda kwedu muna Jesuu kunotipa tariro yehukama huri nani naMwari akagara maari pamuviri, nekuti Jesu anotida zvekusvika pakuona kuti takafanira kufirwa zvivi zvedu.

VAKOROSE 2:9 Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.

Mumunda weEdeni, Mwari pachake akaburuka kuzogadzirisa kuti oponesa sei Adamu naEva kubva kuzvivi zvavo. Haana kugona kuvimba chero mumwe mutumwa kuti azviite zvakanaka.

Saka, muMunda weGetsimani, aive Mwari zvakare muMunhu Jesu iye ega akagona kugadzirisa kuponeswa kwedu kubva kuzvivi.

 

Kuipa kwezvivi zvedu kwakaita kuti Jesu afambe mumoto wehadhesi

Asi muripo waizoripirwa naJesu kuti tiponeswe waive wakakurisa.

Mweya waMwari waive mukati make “Aizovanza chiso chake” kubva kuna Jesu paaizotora zvivi zvedu Woramba kutaurirana Naye. Saka Jesu aizonzwa semutadzi akaraswa. Jesu aizoripira muripo nesimba rake repanyama. Haana rubatsiro rweMweya rwaaizowana.

ISAYA 59:2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chenyu, kuti arege kunzwa.

MARKO 14:34 Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.

Mweya waMwari waigara maari waive wakavanza chiso chawo kuMunhu Jesu.

Tinosangana nekurwadziswa mundangariro mweya wedu wevanhu kana muhupenyu hwedu.

Kana tafa mweya unopesana nemuviri.

Asi mumweya wekufema makaputirwa mweya wemoyo wekunzirwa.

I SAMUERI 25:29 Chero munhu akasimuka kukudzigirirai, nokutsvaka kukuvurayai, mweya waShe wangu ucharamba wakasungirwa pachisote chavapenyu

VAROMA 8:10 Asi Mweya mupenyu

Zvino kuGehena, richakandirwa Mudziva reMoto, mune kurwadziswa kwakadzama kwemweya wemoyo wekunzwira unotipa kutadza kana kunatsa wakapatsanurwa kubva kumweya wekufema. Ndirwo rufu rwepiri.

ZVAKAZARURWA 20:14 Zvino rufu negehena zvakakandirwa mudziva remoto; urwu rufu rwechipiri.

Jesu aive atanga kurwadziwa mumweya wake wemukati.

Zvinoreva kuti nyama yake yaive yatanga kare kurwadziwa negehena raizowedzera kumberi achiri pamuchinjiko. Satani aisunungura kutsamwa kwake kwese kubva kugomba rehadhesi Munhu uyu aisagona kuzvirwira apo Diaborosi akashingirira kwazvo kumuparadza.

Hupenyu neRufu zvaive zvatanga kurwisana pamweya, zvisingaonekwe nenyika.

MARKO 14:35 Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.

Pano muGetsimani Jesu akabvuma kutora zvivi zvedu mukuipa kwazvo nekurema kwazvo kwese. Hupenyu hwake hwaive hwakarurama hauna kusiiwa pandangariro dzedu dzakaipa kana hunhu hwedu husingatsanangurike. Kuipa kwakazara kwehupenyu hwedu huzere zvivi zvakarasirwa pamusoro pake.

Jesu haana kukwanisa kuramba asi akapinda mumarwadzo akazara.

Uyu waizova mutoro usingatakurike kune chero umwe munhu.

MARKO 14:36 Zvino akati: Abha, Baba, zvinhu zvese zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.

Asi Marko akaratidza Jesu ari Mhuru yakazokura kuita Nzombe yakasimba.

Ndiko kwaive kubata kwake kukuru. Kutakura mutoro wezvivi zvedu kuenda nawo paGorogota kunoripira muripo wazvo.

Aifanira kurwa nemuedzo kuti apesane nekutambudzika kwaitevera, asi hondo yaiveko aifanira kuirwa nekuikurira pachake.

Chiitiko chekuyambukira chaifanira kuitika.

Zvivi zvedu zvaizopinda maari kururama Kwake kwopinda matiri, nekutenda.

MARKO 14:37 Zvino akasvika, akavawana varere; akati kuna Petro: Simoni, urere here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?

Kukundikana paKuuya Kwake kweKutanga kwaive kutadza kwevadzidzi vake kurindira.

Kukundikana kwekereke, pakupedzisira, kutadza kwedu kurindira mazano ese asimo muMagwaro netsika dziri kupinda dzichikurira kereke.

Gehena raibvongodzwa. Satani akaona kuti nguva yakakosha yaive yasvika madhimoni akarwisa vadzidzi nenzira yakangwara. Akavaita kuti varare.

Pedyo nemagumo enguva nomwe dzemakereke, vasikana vane gumi vakadzi vakachena mhandara, vanomiririra maKristu akaponeswa mukereke.

Pavanorindira Kuuya kwaShe vanorara vose vokotsira. Nzira yaDiaborosi yakachenjera.

MATEO 25:5 Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.

Edza kutarisa kudzorerwa kwechokwadi mumashure meNguva yeRima.

Martin Luther akamutsa kereke neRumutsiridzo rwake rwenguva yekereke yechishanu rwekuti vakarurama vachararama neKutenda chete. Zvino mumashure merufu rwake, vekwaLuther vakakotsira vakaramba kuenderera mberi.

Kumutswa kwechipiri kwakaziviswa naJohn Wesley achiparidza hutsvene. Mumashure merufu rwake, veMethodisiti vakakotsira vakaramba kufamba.

Kumutswa kwePentekositi nezaruriro yehama Branham yeBhaibheri rakaziviswa zvakava kumutswa kwechitatu kukereke.

MARKO 14:38 Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.

Paive nekutadza kuzhiji mukereke kwakauya nevekwaLuther kubva mukereke yeCatholic. Tinofanira kunamata nekutarira kuti zviri muMagwaro ndezvipi. Zvitendero zvisimo muMagwaro zvakutambirwa zvichinzi tsika dzekereke.

Nekuda kwekuneta kwenyama dzedu sevanhu, tinopinda muzvakaipa nekusaziva.

Jesu akapa vadzidzi vake yambiro paakaona kuti vaive vakangofanana nemamwe maKristu ese munguva dzese dzemakereke. Jesu akaona kuneta mavari akavakurudzira kuti varindire nekunamata kuti vapihwe simba nekuti naivowo vazoedzwa. Vaizotarisana nemiedzo yekuramba Jesu kuti vazviponese.

MARKO 14:39 Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mamwechete.

Chinhu chimwechete chakaitika nehutsvene muMethodisiti munguva yekereke yechitanhatu. Mumashure mekufa kwaWesley, maMethodisiti vakavata vakakotsira vakaramba kufamba.

MARKO 14:40 Zvino paakadzoka, akavawana vararazve, nokuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura.

Pedyo nemagumo enguva yekupedzisira kana nguva yekereke yechinomwe kereke inovata yokotsira zvakare.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:

17 ... usingazivi ...

Nguva yekereke yekupedzisira yakakotsira saka “haizvisvi” kana kuti haizivi zviri kuitika apo kereke yakapatsanurana kuita masangano anodarika 45,000 akasiyana nemagungano. Ese akasiyana asi vese vanofunga kuti vanogona.

Masimba aSatani akasunungurwa zvekuti vadzidzi havana kugona kuzvikunda. Vakavata, vasingazivi zvachose zvaiitika.

Zvakafanana nezviri kuitika nhasi munguva yekereke yekupedzisira. MaKristu akavata akadekara apo mumwe nemumwe anotenda mukereke yake kuti ine chokwadi chakazara asi makereke ese akasiyana.

MARKO 14:41 Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai murere zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.

Pakavata vadzidzi vakakotsira, Jesu akakurira kuwana kukunda kwake pamusoro pemuedzo waida kumudzivisa kutakura zvivi zvedu nezvevadzidzi vake.

Zvivi zvaive zvatangira muMunda weEdeni. Ikozvino, muMunda weGetsimani Jesu aive atanga kuparadza simba rezvivi.

Nhanho yaitevera munhau dzezvivi kwaive kumukirana.

Pakuuya kwake kweKutanga Jesu akatengeswa ari munhu naJudasi aive mutungamiri wekereke.

Pakuuya kwake kwechipiri Jesu akatengeswa ari Shoko raMwari rakaziviswa. Dzidziso dzenhema dzichaitwa kuparadza zaruriro yechokwadi cheBhaibheri reKing James. Ndudzi dzinodarika zana dzeBhaibheri reChirungu dzakanyorwa. Kereke imwe neimwe ikozvino ine munhu anoitungamirira ari musoro wayo ane mafungiro ake anonzi ichokwadi. Idutu reMweya rakazara kuturikirwa kwekushandurwa kweMagwaro kwava muMaoko evanhu. Ndiko kutengesa chokwadi apo Chokwadi cheBhaibheri chinotsiviwa nemazano evanhu.

 

Rudzi rwehumambo rwaive Juda muchiHeberu asi Judasi muchiGiriki

MARKO 14:42 Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.

Nguva yekutengeswa yaive yakwana.

Mukereke yanhasi, tiri pachidanho chimwechete. Chokwadi cheBhaibheri chinotengeswa apo vanhu vanosarudza tsika dzemakereke avo nemazano avo.

MARKO 14:43 Pakarepo achataura, Judhasi wakasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.

Zvinosuwisa, hutengesi hunobva kumutungamiri wekereke. Mupostora. Munhu akaita minana.

Ruzhinji ruchiuya nemunondo warwo kuzosunga munhu mumwechete.

Nhasi kune vaparidzi vazhinji vane mavhezheni avo eMagwaro. Fungidziro dzavo sezvo vese vachitenderana kutuka Bhaibheri reKing James vachiti rakakanganiswa.

MARKO 14:44 Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.

Kunyengera kwehutengesi. Kutsvoda kwaive mucherechedzo werudo asi totenda Judasi, mutungamiri wekereke, kwakashanduka kukava mucherechedzo wehutengesi.

MARKO 14:45 Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi*! Rabhi! Akamutsvoda.

Vanoda kurwisa, kushandura, kana kutuka Bhaibheri reKing James vachiti rakakanganiswa vanoita izvozvo nekukasika kwazvo.

Vanoda kutuka Shoko rakaziviswa pakupedzisira vanokasikawo kwazvo kuita izvozvo.

MARKO 14:46 Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata.

Vakasunga Jesu vakawanda. Nhasi, vatungamiri vezvitendero vanobatana kupikisa zaruriro yechokwadi. Tsika dzekereke dzakafanana neTiriniti neKisimusi nemakore manomwe enguva yeKutambudzika kukuru dzinotambirwa asi nhamo kune wese anopikisa tsika dzavo.

MARKO 14:47 Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.

Marko haatauri pamusoro paPetro nezita rake paakakanganisa. Saka Marko anokurudzira kuti tirege kuedze kushandira Mwari kuti tizviunganidzire pfuma nekukudza zita redu. Tinofanira kuchengeta mazita edu nekuzvikudza kwedu kure neizvi.

Chero da Marko asina kutaura Petro nezita rake, anotaura kutadza kwaPetro.

Varanda havafaniri kutya kuzivisa kukanganisa kwavo kuti kunzverwe kuti tese tidzidze.

Mucherechedzo pano munondo weShoko uchicheka nzeve yeavo vanotsvaga kusunga Shoko. Izvi zvinokuvadza nzeve yemweya yevasingatendi nekuti havana kusangana nechokwadi chakaziviswa.

MARKO 14:48 Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?

Kusunga kwavo muchivande murima. Vaiziva kuti vaive vakanganisa asi vakavimba nekuwanda kwavo.

Satani akavimba nekuva muruzhinji.

MARKO 14:49 Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.

Jesu aidzidzisa mazuva ese muTembere vanhuwo zvavo vaiziva kuti aive akasiyana nevatungamiri vemakereke. Asi vanhuwo zvavo vaida kunzwa zvaaitaura. Saka, vatungamiri vechiJuda vaitya kumusunga muTembere nekuti vanhu vaizochengetedza Jesu. Saka, vakauya muchivande kwasviba nekuti vanhu pavanoita chakaipa, vanoda kuvanda murima rehusiku pasina anovaona.

“Magwaro anofanira kuzadziswa.”

Kutengeswa kwaJesu.

MAPISAREMA 41:9 Haiwa kunyange shamwari yangu chaiyo wandinovimba naye, waidya zvokudya zvangu, naiye wandisimudzira chitsitsinho chake.

Kusunga Jesu muchivande asi mukuita kwemhirizhonga.

MARIRO AJEREMIA 4:20 Mweya wemhino dzedu iye muzodziwa waJEHOVA, wakabatwa muhuzha dzavo, Iye watakati mumumvuri wake ndipo patichararama pakati pamarudzi.

Kristu, Wakazodzwa, ndiye Mweya weHupenyu hwedu hweMweya. MaJuda akamucherera gomba kuti vamuteye vamuisire mariva. Vakamusunga vakamutora kubva kuvadzidzi vake vaive vadzidza kuvimba naye.

“Mumvuri” mucherechedzo weruchengetedzo kubva kukupisa kwekurovererwa nehupikisi.

Asi aive akazvirereka nguva dzese, achizvininipisa chero dai aiitirwa zvakaipa nekupomerwa.

ISAYA 53:7 wakamanikidzwa kunyange zvadaro wakazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoenda kundobaiwa uye segwai risingachemi pamberi pavavevuri varo, sazvozvo haana kushanisa muromo wake.

Akasungwa asina mhosva nemuprista mukuru asina kuwana chikonzero chekumuuraya pasi pemurairo weRoma. Vakamuendesa kuna Herode akamushaira mhosva. Vakadzoka kuna Pirato akaona asina mhaka asi akamutongera rufu nekuti maJuda akakumbira rufu rwake.

Asi Rufu rwake rwaifanira kuitika kuti aripire zvivi zvedu.

ISAYA 53:8 wakabviswa pakumanikidzwa nokutongwa, kana vari vezera rake ndiyaniko pakati pavo wakarangarira kuti wakagurwa akabviswa panyika yavapenyu, wakarobwa nokuda kwokudarika kwavanhu vangu.

Vadzidzi vese vaizotisa vachitya paisungwa Mufudzi zvine mhirizhonga.

ZAKARIA 13:7 Muka iwe munondo urwe nomufudzi wangu, vuye nomunhu Shamwari yangu ndizvo zvinotaura JEHOVA wehondo, rova mufudzi makwai agoparadzirwa, ini ndichatambanudzira ruvoko rwangu kuvaduku.

MARKO 14:50 Vese ndokumusiya vakatiza.

Kwaive nemweya wakaipa wekutya pavakasunga Jesu. Vadzidzi vakapararira vachitiza kusungwa.

Kana zvinhu zvaoma vanhu tinokoshesa kuzvinunura.

Marko, anoshanda naKristu ari Muranda Mukuru, anoratidza kuti isu vanhu tinoshandira Mwari zvakaneta sei. Vadzidzi vose vakatiza Shoko (Jesu) kuti vaponese hupenyu hwavo.

Nhasi tinoita zvimwechete izvi. Tinorasiswa nemazano emakereke mazhinji pachinzvimbo chekumira neMagwaro.

Hatiedze kubvunza kuti nei Bhaibheri risina kumbobvira ratiti tipemberere Kuzvarwa kwaShe.

Hatiedze kutaura kuti Kisimusi haimo muMagwaro uye kuti kutaura kuti “Meri Kisimusi” kutaura kusimo muMagwaro.

Tinogara tinyerere panhau yekuti 25 Zvita rakaitwa zuva rakaberekwa mwari wezuva wemapegani neRoma nemubati weRoma yemapegani Aurelian muna AD 274, mumashure mekuuraya bhishopu weRoma musi wa 22 Zvita.

Zvino, gore rinenge AD 350, zuva 25 Zvita rakatevedzerwa naPope weRoma Jurio I akariita zuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari. Mitambo yeCatholic inonzi maMasi. Saka yakadaidzwa kuti Kirisi Masi yakazova Kisimusi.

Mutambo wemapegani uyu wakapinda mumakereke emasangano.

MaPegani aiziva kuti zvaive zvisina chekuita naKristu saka vakakanzura zita raKristu vakariti Xmasi.

Nhanho nenhanho kereke yakarasika kubva paMagwaro.

 

Marko aifanira kukundikana asati adzidza kushandira Mwari

MARKO 14:51 Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;

Marko akatsanangura kukanganisa kwake nekutya kwake paakataura pamusoro pemunhu asina kutaurwa nezita uyu.

MARKO 14:52 ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama

Kushamisa muviri wake nekutiza kubva kune vakamubata, Marko akasiya nguwo dzaaive akapfeka mumaoko avo. Akatiza akashama akanomira neShoko, Jesu.

Kushandira Mwari kunotangira pakukundikana.

Kereke yekupedzisira yeRaodikia inotsanangurwawo ichinzi “yakashama” sezvo makereke edu asisina Chokwadi cheBhaibheri.

ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke yeRaodikia uti:

ZVAKAZARURWA 3:17 Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama;

Marko akatanga kushanda naPauro na Banabasi.

MABASA 12:25 Zvino Banabasi naSauro vakadzoka vachibva kuJerusarema, vapedzisa basa, vakaenda naJohanewo wainzi Marko.

Marko akabatana naSauro, aitanga hushumiri hwake, aive asati ashandurwa zita rake kuita Pauro. Asi Marko akavasiya muguta rePambiria zvinhu pazvakatanga kurema.

Kushandira Mwari pahuvepo hwaSauro, akazova Pauro, kunenge kwaida kushinga. Pauro airwiswa zvisina muganhu.

Imwe nguva yakatevera Banabasi akasarudza kuenda naMarko, asi Pauro akaramba.

MABASA 15:37 Zvino Banabasi wakange aronga kutora Johane wainzi Mariko, kuti afambe navo.

Rwendo rwakatevera Banabasi aida Marko asi Pauro haana kuisa kuvimba muna Marko.

MABASA 15:38 Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo uyu wakavasiya kubva paPamufiriya, akasaenda navo kubasa

Pakaita kudhonzerana kwakasimba. Banabasi naMarko vakasiya Pauro.

Marko aive achiri kuedza kushandira Mwari asi aive asina kusvika pahwaro hwaitarisirwa naPauro.

MABASA 15:39 Zvino kwakauya kukakavadzana kukuru, zvekuti vakaparadzana, umwe kubva kune umwe; Bhanabhasi ndokutora Mariko kufamba naye, akaenda kuSaipuresi nechikepe;

Pakupedzisira Marko akavandudza mabatiro ake pamberi paMwari Pauro akatanga kuvimba naye.

II TIMOTIO 4:11 Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira.

Mwari akagona kushandisa Marko kunyora Evangeri rechipiri rinoshanda nemhuru ichikura kuita nzombe inotakura mutoro. Izvi zvinotidzidzisa kuti zvinotora nguva kudzidza kuti toshandira sei Mwari zvakanaka munhu anofanira kukura muhushumiri nekusangana nekukundikana Mwari asati amushandisa.

MARKO 14:53 Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vese nevakuru nevanyori.

Vatungamiri vezvitendero vaida kutuka Jesu aive Shoko.

Zvimwechete zvinoitika nhasi apo vatungamiri vekereke varikubuda kuzvidza Shoko rakadzorerwa naWilliam Branham kwatiri.

Makereke akabatirira patsika dzawo dzemakereke zhinji dzacho dzakabva muchiCatholic dzavakatorawo kuchiPegani. MaRoman Catholic akakanganisa paakashongedza zvitendero zvechipegani mazita echiKristu. Nenzira iyoyo vakaziva kuti mapegani aisazoshanduka kuti vave “maKristu”. Saka vanhu vakatanga kunamata Roman Catholic vakawedzera.

 

Petro mucherechedzo wemutungamiriri wekereke yevasikana mapenzi

MARKO 14:54 Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati mechivanze chemupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto.

Vane chokwadi chakanaka kana takatarisa ruponeso nehutsvene nemasimba emweya. Asi kana tikasvika panhau dzakadzama dzeBhaibheri havagoni kudavira. Vanoti Bhaibheri rinozvirwisa kana kuti ingano kana kuti mune zvakakanganiswa mariri. Saka vanovhikirira kusaziva kwavo pazvinhu zvizhinji vanofara kushandura Magwaro akanyorwa mune dzimwe nzvimbo kuti zvienderane nezvavanofunga.

Tarirai Petro akazvibvisa kuShoko.

Vatungamiri vemakereke havatsigiri kutenda kwavo neMagwaro.

MARKO 14:55 Zvino vapristi vakuru nedare rese remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.

Nhasi tina Jesu ari Shoko raMwari, Bhaibheri reKing James Vezheni. Makereke anotsvaga humbowo hwekuti Bhaibheri reKing James rakakanganiswa uye rinonyepa munzvimbo zhinji.

Saka vakatsvaga kuturikira mavezheni avo vega eBhaibheri rechirungu.

MARKO 14:56 Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.

Asi vane mavezheni anodarika zana akasiyana eBhaibheri reChirungu ese akasiyana.

Mavezheni akasiyana zviri pachena kuti anopokana.

Saka, makereke anomanikidzwa kusvika pakuti hazvigoni kuwana Bhaibheri rakarurama.

Nekudaro, havana nheyo dzisingatadzi dzavakavakira kutenda kwavo nekuti Kutenda kunovakirwa paShoko rakanyorwa.

VAROMA 10:17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari.

MARKO 14:57 Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:

58 Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.

Asi uku kwaive kutaura kwenhema.

Vatungamiriri vemakereke vanopomera anovapikisa kuti ari kuedza kushandura zvavanotaura kuti kupomera kwavo kuite chiremerera. Vapupuri venhema havatauri zvinotaurwa nemupikisi chaizvo.

Jesu aive ati kana vakamuparadza aizodzokera zvaaive mumazuva matatu.

JOHANE 1:19 Jesu akapindura akati kwavari: Pazai tembere iyi, uye mumazuva matatu ndichaimutsa.

Jesu aitaura Temberi yeMuviri wake.

MARKO 14:59 Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.

Nekuti vaive varevi venhema, kupomera kwavo hakuna kuwirirana.

Chirungu chanhasi chakashandiswa kuturikira Bhaibheri chine dambudziko rimwechete. Vnoramba vachishandura Bhaibheri reKing James munzvimbo dzakasiyana saka maBhaibheri anhasi anopokana munzvimbo dzakasiyana siyana.

Makereke haagoni kuwirirana pamusoro pezviitiko zvemazuvano.

Vamwe vanoda kubviswa kwemimba vamwe havadi.

Vamwe vanoda kuti vakadzi vaparidze vamwe havadi.

Vamwe vanoda kuwanana kwepachingochani vamwe havadi.

Patriarch Kirill weKereke yeRussian Orthodox akatsingira mutungamiri wenyika yeRussia Putin kurwisa kwakaipa kwaakaita Ukraine muna 2022. Achbishopu weCantebury akapokana nekurwisa uku.

MARKO 14:60 Zvino mupristi mukuru wakasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?

Jesu akaramba akanyarara. Akafuratira kupomerwa kwenhema.

MARKO 14:61 Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana weWakaropafadzwa here?

Jesu akabvuma kuti aive Mwanakomana wemunhu.

MARKO 14:62 Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.

Muprista mukuru aive akufanira kuita sarudzo. Kugamuchira Jesu ari Messiasi uye Shoko raMwari rakarurama kana kuparadza Jesu sechipingaidzo kuTembere yake simba nemari yake.

Muprista mukuru, sezvingori vatungamiri vezvitendero, akanyanya kukoshesa chinzvimbo chake chakasimudzirwa netsime remari zhinji remuTembere.

Zvinosuwisa kwaari, makore anoda kuita 37 akatevera maRoma echipegani akaparadza Tembere muna AD 70. Vakatora hupfumi hwese hwemutembere vakadzokera nahwo kuRoma vakahushandisa kuvaka gomba reshumba umo maikandwa maKristu kuti adyiwe neshumba. ChiPrista chaAroni cheMutesitamente Yekare chakaparadzwa mukuuraya kukuru pakaurayiwa maJuda 1,100,000 nemukuru wemauto weRoma Tito. ChiPrista chikuru nepfuma yeTembere zvakaparara.

Ndiko kuguma kwazvo zvese zvevaipikisa Jesu.

MARKO 14:63 Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichiri kudirei zvapupu?

Madhimoni anopikisa Shoko raMwari. MuPrista mukuru akaita chinhu chakaipa. Akabvarura nguwo dzake. Kwaive kurwisa Murairo waMosesi kwakazara.

Saka, ari muprista mukuru, Kefasi akagumisa Murairo.

REVITIKO 10:6 Zvino Mosesi akati kuna Aroni nekuna Eriarazi, nokuna Itamari, vanakomana vake, musasunungura vhudzi remisoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, kuti murege kufa, naIye arege kutsamwira vungano yose, Asi hama dzenyu dzeimba yose yaIsraeri ivo ngavacheme kupisa kwakatungidzwa naJEHOVA.

Aroni ndiye aive muprista mukuru wekutanga. Chinzvimbo ichi chaizotorwa nevana vake nemurongo wavo.

Muprista mukuru airambidzwa kwazvo kubvarura nguwo dzake.

MARKO 14:64 Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vese vakamurasa kuti ave nemhosva yerufu.

Kefasi akamhura Murairo nekubvarura nguwo dzake.

Akafukidzira zvakaipa zvake nekupomera Jesu kumhura Mwari. Vanhu vake vese vaiti hongu kwaari vaivimba naye pamihoro yavo yemuTembere vakabvumirana naye pakarepo.

Vakarasikirwa nenzvimbo dzavo Kudenga nekuti vakasarudza vatungamiri vezvitendero zvavo pachinzvimbo chaJesu Shoko raMwari.

Kutuka Kristu ndiko kwaive nyaya paKuuya kwake kweKutanga.

Kutuka nekuzvidza Bhaibheri reKing James ndiyo nyaya nhasi uno Kuuya kwake Kwepiri kusati kwaitika. MaKristu mazhinji vane mazita avo akabviswa muBhuku reHupenyu nhasi nekuti vanotenda mumutungamiri wekereke yavo anopokana ne Bhaibheri reKing James. Kristu ari pakati pedu ari Bhaibheri.

DEUTERONOMIO 12:32 Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite; musawedzere kwazviri kana kutapudza kwazviri.

Nemamwe mazwi, chengetai Bhaibheri sezvariri nemanyorerwo arakaita. Pasina chashandurwa.

Kefasi haana kugumisa Murairo chete asi vanhu vakanga vari chikamu chemutongo wake wakaipa mumashure mekumusunga kwavakaita kusiri pamutemo

MARKO 14:65 Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nokuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko.

Kuratidza kuzvidza Jesu kwaive mumoyo yavo vakamupfira vakamurova.

Jesu ndiye Chingwa chehupenyu.

Chingwa chinofanira kusangana nemate chisati chamedzwa kuti chimedzeke.

Sekusvipirwa kunoitwa Shoko nevasingatendi, vanotenda vanogona kumedza nekudzeya kana kunzwisisa zvakavanzika zvacho.

Kumutsvinyira, vakamurova meso ake paaive akavharika vakamuudza kuti aprofite kuti aive arohwa nani. Vakaenderera mberi mumurova kumeso kwake.

 

Petro mutungamiri wevasikana mapenzi akaramba Shoko katatu

Jesu ndiye Shoko.

Nekuramba Jesu, Petro akaramba Shoko.

Nhasi, vatungamiri vemakereke vanoramba kuti Shoko raMwari harinzi haritadzi uye harishandurwi. Saka vanoramba kuti Jesu haatadzi. Tinoona Jesu ari Bhaibheri reKing James chete nhasi, patinotuka Bhaibheri reKing James nhasi tinotuka Jesu. Zvinotiita chikamu chevasikana mapenzi.

MARKO 14:66 Zvino Petro achiri pachivanze pasi, kwakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;

Vasikana madzimai akachena mhandara dzinomiririra maKristu akaponeswa mukereke vakanyengerwa nekuti havagoni kunzwisisa zvakadzama zveMagwaro.

Vanotenda Magwaro mazhinji asi vanorambawo kana kupikisa Magwaro mazhinji.

Akapikisa Jesu. Izvi zvakafanana nekupikisa nekurwisa Bhaibheri. Jesu akataura kuti Petro aizomutengesa asi Petro akaramba akapikisa Jesu. Vasikana mapenzi vakapikisa mamwe maverse eBhaibheri vakapokana nawo.

Jesu kataura achipikisa Petro iye Petro akaramba kupikiswa uku. Petro akaganza kuti aizove parutivi rwaJesu nguva dzese. Vasikana mapenzi vakaponeswa vanoramba zvakawanda muMagwaro votuka vanoda havo kutevera Bhaibheri zvakazara.

Vasikana mapenzi havagoni kuzvidza makereke kana vatungamiriri vemakereke avo. Asi vanofara kuzvidza mamwe mavhesi eBhaibheri asingaenderane navo. Vasikana mapenzi vanokoshesa kereke dzavo nevatungamiri vemakereke avo pachinzvimbo cheBhaibheri.

Mukadzi, muranda mucherechedzo wekereke. Vanhu nhasi vanotya kwazvo kupokana nemakereke avo.

Saka Petro aitya kuyanana naJesu, Shoko raMwari. Nhasi, tinoona Jesu ari Bhaibheri reKing James rinotiudza ndangariro dzake.

Asi Zvakazarurwa chitsauko 3 inotaura kuti kereke yekupedzisira yeRaodikia haipisi kana kutonhora saka haina chiremerera chakanyanya.

Vasikana mapenzi vanopikisa nhanho nhatu dzekudzorerwa.

MARKO 14:67 Achiona Petro achidziya moto, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta.

Kugara pamoto zvinoreva kuti Petro aipisa kumberi kwaisvika mudziya wemoto asi muviri wake kumashure waitonhora nekuda kwechando chehusiku. Musanganiswa wekupisa nekutonhora mucherechedo wemutendi asingateveri Magwaro zvakazara. Kusapisa kana kutonhora zvinoreva kuti unotevera chidimu chemagwaro asi usingatendi mu Bhaibheri rese.

Musikana akamupomera kuti aive naJesu, memamwe mazwi kumira neShoko. Asi Petro akaramba. Vatungamiri vevasikana mapenzi vanotenda chete zvimwe zvezvakaziviswa neShoko kuzuva ravo vomira apo Shoko rinopinda mune imwe nguva.

Jesu weNazareta zvinoreva kwakabva Jesu kwaakakurira. Kwakabva kereke munguva yekereke yekutanga yeEfeso pakanyorwa Testamente Itsva nemapostora vachitenda. Mwenje wekutanga waizopatsanuka kuita mwenje minomwe.

Netzeri zvinoreva kuti davi muchiHeberu.

Netzereti zvinoreva kuti nzvimbo yekupatsanurana kwedavi.

Nazara zvinoreva kuti Chokwadi.

Netzereti neNazar zvikabatanidzwa zvinogadzira “Nzvimbo yekupatsanurwa kweChokwadi”.

 

 

Mazwi akabatanidzwa haana kumbotaurwa muchiHeberu muTestamente Yekare.

Izwi rekuti Nazareta chiGiriki chakashandurwa kubva kuna Netzereti naNazara kana zvabatanidzwa.

Zvino pakupedzisira, nguva yekekereke yekupedzisira inofanira kudzokera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga. Kereke yekutanga chete ndiyo ine chokwadi chakazara nekuti ndipo pakaonekwa naJohane Mubapatidzi pakamira Jesu.

Nguva yekereke yekutanga chete yemapostora ndiyo yaive neChokwadi. Saka, kana tichida Chokwadi, ndiko kwatinofanira kudzokera.

 

 

Makondo enguva yekupedzisira anofanira kubvumirana nekutenda kweShumba kwekutanga kwaive nemapostora.

MARKO 14:68 Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.

Petro akati aisamunzwisisa.

Kushaiwa kunzwisisa Bhaibheri nezvakavanzika zvaro idambudziko guru muvatungamiriri vemakereke nhasi.

Vanongoti mavhesi akaoma kungoriwo kutaura kusina musoro kusingafaniri kushaisa vanhu hope.

Asi havagoni kutsanangura kuti nei mune zvinhu zvisina musoro izvi zvakawandisa muBhaibheri.

Saka, vanongonyepa kuti vavhariridze kusaziva kwavo zvinhu zvakawanda muBhaibheri.

Petro akabuda muchivakwa. Vatungamiri vemakereke vakavaka dzidziso dziri kunze kweMagwaro pavanotadza kutsigira zvavanotenda vachishandisa mavhesi eBhaibheri chete.

Saka, vatungamiri vemakereke nhasi vakabuda mugwara reTestamente Itsva zvitendero zvakatendwa nemapostora vasina kubvira vashandisa izwi rekuti Tiriniti vaibapatidza neZita raJesu Kristu (Mabasa 2:38).

Vainzwisisa kuti Jesu Kristu ndiro raive Zita raBaba, Mwanakomana naMweya Mutsvene.

Chokwadi ichi chakakanganwikwa chikarambwa munguva yeRumutsiridzo rwenguva yekereke yechishanu yazivisa kuti tinoponeswa neKutenda.

Servetus aive munhu aipikisa Tiriniti zvakazara ipapo John Calvin mukuru wevemasangano anopikisa chiCatholic ari mumutsiridzi zvakare akaita kuti apiswe. Zwingili mumutsiridzi aibva kuZurichi, akaita kuti mutungamiri weAnabaptisiti anyudzwe mumvura nekuti aitenda murubapatidzo rwekunyika munhu mumvura zvakazara. Zwingili aitenda mukumwaya vana mvura. Nzira dzinotyisa dzekupokana nadzo nevanhu.

MARKO 14:69 Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo.

Petro akaramba kechipiri.

Munguva yemamishinari mamishinari akadzidzisa ruponeso rwaiitika chete muZita raJesu Kristu. Vaiisa kukosha kwese pana Jesu asi vachiramba kuti Jesu ndiye aive Ishe Wamasimbaose. Chero dai vaitenda muTiriniti, mamishinari vaive nemoyo munyoro kuvanhu vasingatendi kuTiriniti.

“Zaruriro yaJesu Kristu” yakazivisa Jesu kuti aive Ishe Wamasimbaose.

ZVAKAZARURWA 1:8 Ini ndini Arifa naOmega, Kutanga neKupedzisira, anoreva Ishe, aripo, newakange aripo, neachazouya, Wemasimbaose.

Kuramba kwaPetro kwechipiri kwaive kwenguva duku. Makereke emamishinari enguva yekereke yechitanhatu vaive vasina hutsinye kuvanhu vaisatenda kuTiriniti.

MARKO 17:70 Asi wakarambazve.

Totenda kurudziro yaJohn Wesley yerudo pakati pehama, maKristu anoita seanopokana nevanovapikisa nenzira ine rugare mukati.

Tosvika panguva nomwe dzekupedzisira dzekereke.

MARKO 14:70 Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo.

Kuramba kwaPetro kwechitatu nguva yekereke yekupedzisira yeRaodikia (kodzero dzevanhu) zvaibva pamutauro wake uye kuti aitaura sei. Nhasi Mwenga kana vasikana vakachenjera vanotaura mumutauro weShoko rakaziviswa Bhaibheri reKing James. Vanotsigira zvitendero zvavo nekuyananisa mavhesi akafanira muBhaibheri.

Mukangotaura zita reHama William Branham nharo dzinobva dzasimuka maKristu anhasi akanyanya kupikisa kwawo avo vasingatendi kuTiriniti vanobapatidza muzita raJesu Kristu.

MARKO 14:71 Akatanga kutuka nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.

Nhasi, kana mukapikisa Tiriniti mukereke, vasikana mapenzi vanotsamwa votoda kuti mubude mukereke mavo.

Musataure kuti muprista, mushumiri, kana murevhi, kana pasita haasi musoro wekereke. Nguva yekereke yekutanga haina kubvira yaita zvinzvimbo izvozvo. Makereke nhasi haagoni kutambira kutaura kwakadaro.

 

Kuzivisa Dzidziso hushumiiri hwemudzidzisi

63-0724 MWARI HAVADANI MUNHU KUNOTONGWA VASINA KUTANGA VAMUYAMBIRA

Mudzidzisi munhu akasarudzika. Anogara pasi pezodzo yeMweya uye anogona kutora Mashoko omaisa pamwechete kupfurikidza Mweya Mutsvene, zvekuti, pasita kana murevhi haagoni kukwikwidza naye.

Vasikana mapenzi havagoni kugamuchira kutaura kwakadai.

I VAKORINTE 12:28 Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi,

Pakugadzira kereke Mwari akashandisa mapostora (vakanyora Testamente Itsva) maprofita vakanyora Testamente Itsva nemaprofita enguva yekupedzisira kukereke yevaHedeni vakatidzorera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.

MATEO 17:11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese.

Pechitatu, Mwari vanoshandisa vadzidzisi kutora zvakataurwa nehama Branham vozvidzorera kuMagwaro kunotsigira zvavakataura vachishandisa Testamente Itsva neyakare. Mahwamba akaparadzana emhuka yakachena (dzidziso) kana muchigona kuzeya pachenyu moona dzidziso dzichiratidzira muMagwaro ese.

Mudzidzisi weBhaibheri anogona chete kutsigira zvaanotenda achishandisa Bhaibheri.

64-0823 MIBVUNZO NEMHINDURO. 1

Asi vanogona kutambira Shoko mukuzara kwaro,

Kwete nekuti ndini ndiri kuriparidza, asi nekuti Bhaibheri rinotaura kudaro.

Vanogamuchira izvozvo vakasunungurwa nekuti Shoko rakatongwa kare.

KUZIVISWA KWENGUVA DZEMAKEREKE MANOMWE CHITSAUKO 9 NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA

... nokuti muprofita anotungamirira munhu kuShoko nguva dzese osungirira vanhu kuna Jesu haaudzi vanhu kuti vamutye kana zvaanotaura, asi kuti vatye zvinotaura Shoko.

62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA. 2

Zvino, zvinhu izvi zvose zvandataura, kana zvisingafambidzane neShoko raMwari, zvakaipa, zvakaipa,

65-0801 MWARI WENGUVA INO YAKAIPA

... kuti vanhu vakatenda kumharidzo

Kuti Ishe Jesu vakandipa kunguva ino, vanokwanisa kuziva zviri kuitika.

Vozviisa muMagwaro.

Dzidziso ndeyechokwadi kana muchigona kuitsigira neMagwaro, kwete nekungoturikira zvakataurwa.

Pasita anopinda pakugadzirisa nhau dzevanhu vakazvimiririra mukereke.

63-0724 MWARI HAVADANI MUNHU KUNOTONGWA VASINA KUTANGA VAMUYAMBIRA

Asi, munoona, mukereke muna pasita, pasita munhu akasarudzika. Akavakwa kuti agone kumira pamatambudziko evanhu. Mutakuri wemutoro, ndiye nzombe paboka. Munhu anogona kugara pasi kana ... pakaita munhu ane mhosva neumwe munhu, ovagarisa pasi mhuri mbiri (asina divi) ogadzirisa odzosera zvinhu pakunaka. Mazviona? Ndipasita, anoziva kuti ogadzirisa nekuchengetedza zvinhu sei.

Kugadzirisa nhau dzevanhu kunodaidzwa kuti kuchengetedza kwehufudzi.

MARKO 14:72 Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.

Kechipiri jongwe richikukurudza mucherechedzo wekuziviswa kwechipiri kwechokwadzi cheBhaibheri nekutora kereke yechinomwe kuidzorera kudzidziso dzekutanga dzemapostora dzenguva yekereke yekutanga.

Pamubvunzo umwe neumwe, tinofanira kubvunza kuti “Ndizvo here zvakatendwa nekereke yekutanga.

Vasikana mapenzi vakagara vachiramba chokwadi chinouya.

Vanogara nezvavakatanga kudzidziswa uye havagoni kuenda mberi. Mumwe nemumwe anotenda kuti kereke yake ndiyo ine chokwadi.

Havachatendi kuti vanofanira kutsigira kutenda kwavo neBhaibheri reKing James chete.

Vanotsvairwa kupinda munguva yeKutambudzika kukuru kuchava nekuchema kukuru.

MATEO 8:12 asi vana veushe vachakandirwa kunze kurima rekunze kwekupedzisira; ikoko kuchava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

Chinhu chinosuwisa chekuisa kereke nevakuru vekereke pamberi peShoko raMwari.

 

“Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi.” — 1 VaKorinte 16:23