Marko 14 Chikamu 1 Akapemberera rufu rwakanakisa
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
Vatungamiriri vechiJuda vakaronga kuMuuraya. Vadzidzi vake vaizotiza. Mukadzi asina kutaurwa nezita (kereke) ndiye akaripira kupemberera rufu rwake.
- Vatungamiri vechiJuda vaive vasina tsitsi pakuparadza chokwadi
- Zaruriro huru yakauya nemukadzi asina kutaurwa nezita yakamutorera zvizhinji
- Judasi aive mutungamiri wekereke akawira pasi nekuda kwemari
- Paseka kwaive kudya kwakafanana nekwemazuva ose
- Mutungamiri wekereke aizotengesa Jesu
- Chingwa newaini micherechedzo yemuviri neropa
- Vadzidzi vaizotiza nehupenyu hwavo
- Vakaziva zvinhu zviviri kumativi ese ekumuramba katatu
- Kudzorera chokwadi kunopikiswa nevasikana mapenzi
- Jongwe richarira kuzivisa chokwadi cheBhaibheri chakaburitswa pachena
- Tinofunga kuti tiri kugona asi tichitotadza
Vatungamiri vechiJuda vaive vasina tsitsi pakuparadza chokwadi
MARKO 14:1 Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nemutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei nekunyengera vamuuraye.
Paseka yaive musi weChina. Saka, uyu waive Muvhuro.
MaPrista emuTembere vaimhanyira kuuraya Jesu. Aive apinda mutembere musi weSvondo yeMichindwi akadzinga matsotsi aitsinhana mari muTembere. Kuisa mari dzavo panjodzi havaikusekerera. Svondo yeMichindwi ndipo paakasarudzwa nekudaidzwa mambo nevanhu.
EKSODO 12:3 Taurai kuvungano yose yavaIsraeri muti: Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore Gwaiana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo, mhuri imwe neimwe ngaive negwayana rayo.
EKSODO 12:6 Zvino murichengeta kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo vungano yose yavanhu vose ngavarivuraye madekwana.
Saka Jesu, ari Paseka yedu, aifanira kufa musi wechina.
Rufu kuvigwa nekumuka kwaJesu kwaizoita chiratidzo chekuti Mwari akapa kurudzi rwakaipa.
MATEO 12:39 Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
MATEO 12:40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
Husiku hutatu. China husiku. Chishanu husiku. Mugovera husiku. Akazomuka mangwanani eMuvhuro. Pakuuya kwake kweKutanga akamuka ari munhu.
Zvimwechete zvinodzokororwa nhasi. Mumashure menguva nhatu dzemakereke chokwadi chakazara chinomuka kubva parufu rweChokwadi muNguva yeRima yodzorerwa kunotenda zvakatendwa munguva yekereke yekutanga yemapostora.
Kururamisirwa naLuther nekutenda chete munguva yekereke yechishanu. Hutsvene nekuparidzira naWesley munguva yekereke yechitanhatu. Simba reMweya Mutsvene rakadzorerwa nePentekositi nechokwadi chakazara cheBhaibheri chakadzorerwa naWilliam Branham munguva yekereke yechinomwe kuti Mwenga atende zvinotendwa nenguva yekereke yekutanga.
Pakuuya kwake kweChipiri Jesu anomutswa, kwete ari munhu, asi ari Shoko raMwari rakaziviswa.
Johane Mubapatidzi akakura nzira yekuuya kwaJesu ari Munhu achifamba pakati pevanhu. Mharidzo yaWilliam Branham yakakura nzira yeKuuya kwaJesu kweChipiri achizivisa Jesu achifamba nemapeji eBhaibheri reKing James.
Paseka ndipo muprofita mukuru Mosesi akakurira rusununguko rwemaJuda kubva kuEgipita pavakabuda muEgipita zuva rakatevera. Havana kugara muEgipita.
Paseka ndiwo mutambo wekutanga wegore vanhu vazhinji vanopinda muJerusarema netarisiro yekuti Messiasi anouya kuzovasunungura kuhutongi hwakavengwa hwevaRoma. Hazvina kuzivikanwa kuvaJuda, vaive vakanyura munezvematongerwo enyika vachipikisa Roma, kuti Messiasi aivepo achida kuvasunungura kubva kuzvivi zvavo.
Vatungamiriri vezvitendero vepamusoro soro vaisatya kuuraya mwanakomana waMwari aikwanisa kuponesa varwere nekupa vanhu zvekudya. Vaitya kuti vanhu vaifadzwa nesimba raJesu vaizoita ndururani. Saka, vakaronga kuuraya Jesu nenzira yekushandisa zvematongerwo enyika nekuita kuti maRoma avaitire basa iri. Ruzhinji rwaive rwagamuchira Jesu musi weSvondo yeMichindwi. Vatungamiri vechiJuda vaive nemazuva mashoma kuti vaite kuti vanhu vapandukire Jesu kuti vakumbire rufu rwake.
MARKO 14:2 Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.
Pavakaona mbiri yaJesu musi weSvondo yeMichindwi vakaona kuti kutora Jesu panguva yeMutambo kwaizova njodzi kana vanhu vakamureverera vakamira naye.
Mutambo wePaseka wakatanga musi weChina manheru.
Zuva remaJuda rinotanga paKudoka kwezuva.
GENESISI 1:5 Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva rimwe.
Saka, Chitatu cheRoma husiku ndicho chaive China chemaJuda husiku chakateverwa neChina mangwanani neChina husiku.
Nenguva dza 6 madekwana (1800hrs) Chishanu chemaJuda chakabva chatanga.
Zaruriro huru yakauya nemukadzi asina kutaurwa nezita yakamutorera zvizhinji
Mavhesi maviri ekutanga aya kufanoratidzirwa kwevatungamiri vemakereke anhasi vanoronga zvakanakisa kuti voshaisa sei vanhu hanya neMagwaro. Vanopikisa nekuramba Bhaibheri reKing James.
Vanoisa zvakataurwa nevanhu pamusoro peMagwaro.
Nekutsanangura zviri vatungamiri veMagwaro avo, pakupedzisira, vanoshandira Mwari zvisizvo kupfurikidza kuramba Shoko raMwari (Jesu), Marko anotarisa mukadzi (mucherechedzo wekereke) akashandira Jesu zvakanaka.
MARKO 14:3 Zvino wakati ari paBetaniya, mumba maSimoni wemaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibasiteri* chechizoro chenarido chaiyo chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.
Murume aive nemaperembudzi agara kunze kwemusasa, kwete imba yaive muguta. Aifanira kugara ega asingatenderwi vaenzi vaimushanyira.
REVITIKO 13:45 Zvino munhu unamaperembudzi une hosha iyo, nguvo dzake dzinofanira kubvarurwa, nebvudzi romusoro wake ronofanira kusunungurwa vuye unofanira kufukidza muromo wake wekumusoro unodanidzira achiti: ndakaipa ndakaipa.
REVITIKO 13:46 Mazuva ose aanehosha iyo, uchava usina kunaka;
Haana kunaka ngaagare ari oga; pokugara pake panofanira kuva kunze kwemusasa.
Maperembudzi chaive chirwere chakaipisisa uye vashoma vakanyorwa muBhaibheri vakaporeswa kubva kwachiri.
Kana Simoni aive nemaperembudzi akaponeswa naJesu, chirwere chakaipa ichi chaive chisisayananiswe nezita rake.
Simoni aive nemaperembudzi akanga aburitswa mumba make, asi Jesu akasarudza kushandisa imba yake.
Bhaibheri harina kutaira kuti Simoni aive mumba.
Saka, Mwari anoshandisa vanhu vajaira kurambwa. Vari munguva yakaoma vasingagoni kuzvibatsira vanokwanisa kushandiswa naMwari. Simoni, ari munhu wemaperembudzi, aive asina chaaive aita nguva yakadarika chekudada nacho.
Mateo naMarko vanomiririrawo kereke ichirasika nekufa apo vanoenda muNguva yeRima nekubva paMagwaro akanyorwa.
Izvi zvinomiririrwa hurwere hunotyisa hunouraya hwemaperembudzi.
Tinodzidza kuti Mwari vanoshandisa vanhu vatisingafungidziri, kwete vatungamiri vakuru mukereke.
Vaive vatungamiri vekereke vaibvisa vanhu paMagwaro nekuzivisa Chishanu Chakanaka mugore AD 195, Tiriniti muna AD 325, neKisimusi muna AD 350 chero tisina kumbonzi neBhaibbheri tipemberere kuzvarwa kwaJesu.
Pope, maKadhinari, maAchibhishopu haateveri Magwaro. Uyewo maRenti, Rozari, mufananidzo wemuchinjiko, mamonesitiri, mamongu, manani, maIsita egi, maIsita bhani, muti weKisimusi, Chitatu chedota, muprista ndiye munhu mumwechete musoro wekereke, nezvimwe zvakadaro.
Mukadzi aive asingazivikanwi zita rake. Mukadzi mucherechedzo wekereke.
Kereke haifaniri kuzvitsvagira mbiri. Haifaniri kuzviitira zita.
Mwari akashandisa munhu akazvidzika kuzadzisa Kuda kwake achidarikira vanhu vakakosha kana achida kuti basa rake riitwe.
Akaisa kukosha panaJesu seMusoro wake nekumuzodza musoro wake.
Paive pasina mutungamiri wechitendero pakati pake naJesu. Uhu hwaive hukama pakati pake naJesu chero zvazvo vamwe vevadzidzi vaipokana naye zvikuru.
Tinofanira kudzidza kutungamidza Bhaibheri reKing James nekuti rinotiudza ndangariro dzaMwari. Zvinofungwa nevanhu zvakaipa kana vachipokana neBhaibheri.
Chinhu chikuru panguva yekupedzisira chinoitwa nevakuru kupokana nezvakanyorwa muMagwaro.
Zodzo raive rakakosha. Kushandira kwaaiita Mwari kwakamukonzeresera zvakanyanya.
Akaputsa bokisi.
Nenzira iyoyo haana chaakazvichengetera iye pachake. Akaripira muripo wakazara kuti ashande.
(Evangeri raMarko rinoisa kukosha pana Jesu ari Muranda, nzombe yakasimba yakatakura zvivi zvedu kuenda nazvo kugehena kunozvirasira kuna Diaborosi. Kubata kwake kwakamutarira kutifira. Saka, ndinofanirawo kumushandira nekugona kwangu kwese, zvisinei nekuti zvinonditorera chii.)
Mumwe mukadzi akaenda akanozodza mutumbi wake mumashure meSabata nekuti havana kutenda kuti aizomuka kubva kuvakafa.
Mukadzi uyu akazodza muviri wake achirarama kureva kuti aizorarama zvakare mumashure mekufa kwake.
Mukadzi uyu (kereke) yaive nezaruriro inodakadza yekuti Jesu aizomuka kuvakafa.
Izvi zvaimiririra zvakare kumuka kwechokwadi, chekuti vakarurama vachaponeswa nenyasha kupfurikidza kutenda chete, mumazuva aMartin Luther wekuGermany)
Mafuta anodhura aakashandisa aive mucherechedzo wemutengo mukuru waizoripirwa naJesu achiripira zvivi zvedu paaifa.
(Rumutsiridzo rwevemasangano akapikisa chiCatholic rwakatora hupenyu hwemamiriyoni evanhu pakuuraya kwaakatwa neRoma ichirwisa veiipikisa, kunyanya muGermany neHondo yemakore makumi matatu kubva muna 1618 kusvika 1648. Hondo yerusununguko rwezvitendero yaive isina kureruka. )
Mukadzi akaputsa bokisi kuraitidza kuti Jesu aizoputsanya ngetani dzerufu muvengi wedu mukuru.
I VAKORINTE 15:26 Muvengi wekupedzisira uchaparadzwa ndirwo rufu.
Chizoro chinonhuwira mucherechedzo wekuti tinoona kuti tiri vatadzi vasina kufanirwa nenyasha asi Jesu akafunga kuti takafanira kufirwa.
MARKO 14:4 Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?
Kuita chinhu chakanaka tichiitira Mwari kunosimudza vapikisi nguva dzese.
Zodzo kazhinji angove madonhwe mashoma emafuta aiiswa mumusoro wemunhu. Akadirirei mafuta mazhinji kudaro mumusoro wake? Vakafunga kuti airasa mari.
Vanhu vanonyura mupfungwa yemari nguva dzese nekuti vanoda kuti mari dzavo dziwedzere.
Mukadzi airatidza kuti paive nechinhu chakanaka chaizoitika. Aive nezaruriro pamweya.
MARKO 14:5 Nokuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenario anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsiura nehasha.
Mapeni 300 aive pedo nekukwana muhoro wemedzi wese. Asi akaona kuti chero kuzvipira kwake kwaive kwakakura, Jesu aizoita chipiriso chakakura kudarika chake. Aizofira zvivi zvedu.
MARKO 14:6 Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Waitira ini basa rakanaka.
Jesu akatsigira zvakakwana zvaaive aita.
Pamunoshandira Mwari, garai mumiganhu yeBhaibheri mofuratira kuzvidza kwevamwe vanhu.
Mukadzi uyu akaisa Jesu (Shoko) pekutanga achifuratira zvaitaurwa nevatungamiri vezvitendero.
MARKO 14:7 Nokuti varombo munavo nguva dzese, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzese.
Kuchagara kuine varombo vanoda kubatsirwa. Asi Jesu aive asingazove navo kwenguva refu.
Kuisa kukosha pana Jesu ari Shoko raMwari chinhu chakanaka.
MARKO 14:8 Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
Aive nesarudzo dzishoma asi akaita zvakanaka nepaakagona napo zvenguva iyoyo.
Aiziva kuti Jesu aizofa nekuzadza imba nemunhuwi wakanaka wezvinonhuwira, aizivisa kuti rufu rwake rwaizounza kubwinya.
MARKO 14:9 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kwese-kwese kuchaparidzirwa evhangeri iyi panyika yese, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
Aifara murufu rwake.
Kuratidza Jesu kuti aive akazvipira kuripira muripo mukuru kuti agorangarira rufu rwake sekukunda kukuru, kwete kurasikirwa kunosuwisa.
Rufu rwaKristu achifira zvivi zvedu ndidzo nheyo dzechiKristu. Tinokoshesa kufa Kwake sezvo kuchisuka zvivi zvedu.
Nekudurura mafuta anodhura pamusoro wake, akaratidza kuti Jesu aive Muprista wake Mukuru.
REVITIKO 21:10 Munhu uri muPrista mukuru pakati pehama dzake, wakadirwa mafuta echizoro pamusoro wake,
Judasi aive mutungamiri wekereke akawira pasi nekuda kwemari
MARKO 14:10 Zvino Judasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvapristi vakuru, kuti amutengese kwavari.
Jesu aive nevatsigiri vakawanda nembiri nekuti akaponesa varwere nekupa zvekudya kuvanhu vazhinji. Jeus akaita kuti kutaura kwevatungamiri vechiJuda kushaiwe chiremerera. Jesu akakandira panze vaitsinhana mari mutembere musi weSvondo yeMichindwi zvakanyorwa kuna Mateo. Akaita zvimwechete zvakare zuva rakatevera Musi weMuvhuro zvakanyorwa kuna Marko. Temberi yaive nepfuma huru kwazvo saka vatungamiri vemuTembere vaisakwanisa kutendera kuita kwake uku kuti kuenderere mberi pamusoro pepfuma yavo.
MARKO 14:11 Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti angamutengesa sei panguva yakafanira.
Havana kuda kusunga Jesu zviri pachena kuitira kuti vanhu vaizovamukira. Vaida munhu wepedyo naye aikwanisa kumutengesa murima.
Hakuna kunyorwa kuti Judasi akambodaidza Jesu kuti Ishe.
Vakadzi, mari, nembiri ndizvo zvinhu zvikuru zvinokunda vaparidzi vokundikana pahushumiri hwavanenge vakapihwa naMwari.
Judasi akawira pasi nekuda kwemari.
Vaparidzi vakawanda vanoziva kuti vanoparidza zvisimo muMagwaro, asi kana vachipihwa mari zhinji havanei nazvo. Kuunganidza pfuma kunoonekwa sechiratidzo chemakomborero aMwari.
Paseka kwaive kudya kwakafanana nekwemazuva ose
Vakadya “Paseka” husiku tisati tasvika musi “weMutambo wePaseka”.
Mutambo wePaseka ndeapo vakadya gwayana rePaseka rakagochwa.
Paseka yakaitwa husiku hwemusi weChitatu kana takatarisa nguva dzechiRoma. Chidyo ichi chaive nenyama nemuto segango.
Mutambo wepaseka waive China kana takatarisa nguva dzemaRoma pakadyiwa gwaiana rePaseka.
Chitatu husiku chaive china kumaJuda. Zuva ravo idzva rinotanga pakudoka kwezuva.
MARKO 14:12 Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?
“Paseka” raivewo “zuva rezvingwa zvisina mbiriso”. Zuva rakabaiwa gwayana rePaseka.
Musi wakatevera, Chishanu waive “Mutambo wePaseka” paidyiwa gwayana rakagochwa. Chishanu chaivewo “Mutambo wezvingwa zvisina mbiriso” sezvo waitanga mimwe misi minomwe yezvingwa zvisina mbiriso.
Saka, paive nemazuva masere ezvingwa zvisina mbiriso.
Zvingwa zvisina mbiriso zvaimiririra hutsvene hwaKristu. Aive mutsvene zuva rePaseka paakafa. Ndiro raive zuva rekutanga rezvingwa zvisina mbiriso.
Mazuva amomwe akatevera aimiririra kereke ichichengetwa munguva nomwe dzemakereke nehutsvene hweMweya waMwari neShoko raMwari.
Jesu akasarudzwa pajekereke musi weSvondo yeMichindwi zuva rechigumi. Mazuva mana mumashure mekusarudzwa uku waizova musi weChina. China chechiJuda chaitanga madekwana ezuva radarika musi weChitatu kana takatarisa nguva pachiRoma.
Saka, akasungwa musi wechitatu madekwana (pakati pevhiki) akarovererwa musi weChina.
DANIERI 9:27 Zvino iye uchaita sungano yakasimba navhazhinji vhiki imwe: Pakati pevhiki uchagumisa chibairo chechipo,
Kusungwa kusiri pamutemo musi weChitatu nerufu rwaMessiasi musi weChina zvakagumisa zvipiriso zvemuTembere zvaive zvisisina kukosha. Muprista mukuru Kefasi akabvarura nguwo dzake akagumisa chiprista chaAroni.
Zvino, hapafaniri kuva nemunhu pakati pako naMwari.
Kereke yeRoma yakaputsa izvi ichisimudzira Muprista, Bhishopu, Achibhishopu nemaKadhinari. MaPope ari pamusoro pevanhu kuti vadzosere chiPrista chaAroni. Ava vaNikoraiti. Munhu mutsvene anosimudzirwa pamusoro pevanhu. Mwari akavenga izvi. Vatungamiri vakasimudzirwa ava vakamisa hupikisi hwemaonero avo vakatungamirira kereke kupinda muNguva dzeRima.
MARKO 14:13 Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, zvino munhu achasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,
Jesu nevadzidzi vaifanira kudya Paseka musi weChitatu chepamazuva eRoma husiku, muBhaibheri chinenge chaChina. Mazuva emuBhaibheri anotanga zuva rodoka. Mazuva eRoma anotanga pakati pehusiku.
Kazhinji vakadzi ndivo vanotakura mvura. Kuti murume aite izvi zvaive zvisina kujairika. Izvi zvinotiudzaa kuti kana tichida kutevera Mwari tinofanira kujaira zvisina kujairika zviri mumashandiro ake. Nzira dzake hadzisi nzira dzedu.
MARKO 14:14 uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?
Ndiko kwaive kubata kwaJesu pamusoro pevanhu vaive vasingatomuzivi.
MARKO 14:15 Uye iye achakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.
MARKO 14:16 Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika.
Tichishandisa nguva dzeRoma: vakadya Paseka musi weChitatu husiku. Zvakare musi wechingwa chisina mbiriso. Vakauraya paseka musi weChina masikati vakaigocha. China husiku waive musi weMutambo wePaseka nemutambo weZvingwa zvisina Mbiriso waizotora mazuva manomwe.
China husiku waive musi weChishanu kuvaRoma. Vakadya Mabiko ePaseka nemabiko eZvingwa zvisina Mbiriso musi weChishanu.
Chishanu ichocho, nekuti waive mutambo wakasarudzika, waivewo musi weSabata yakasarudzika Zuva Guru.
JOHANE 19:31 Naizvozvo VaJuda nokuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nokuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
Musi waitevera waive Mugovera waive Sabata remazuva ose.
Mutungamiri wekereke aizotengesa Jesu
MARKO 14:17 Kuzoti ava madekwani wakasvika nevanegumi nevaviri.
Uyu waive musi weChitatu chedu isu madekwana, asi China madekwana kumaJuda.
Vadzidzi gumi nevaviri vakauya kekupedzisira. Chirayiro chekupedzisira ndicho chaive nguva yekuparadzanisa. Judasi aive munyengeri asi akakwanisa kugara pakati pevadzidzi kusvikira paChirayiro chekupedzisira chakamufumura kuva mwanakomana wekuparadza. Mwanakomana wekugehena.
Akatengesa Jesu Shoko raMwari. Saka, kutengesa Shoko ndicho chinhu chakaipisisa chatingaite. Musafe makapokana nechero chinhu chiri muBhaibheri reKing James. Musafe makawedzera kana kubvisa chero chinhu pariri.
MARKO 14:18 Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu anodya neni achanditengesa.
Diaborosi akashanda ari pakati peboka revadzidzi. Judasi akatengesa Jesu. Petro akaramba Jesu.
Satani haavimbi memaKomiyunisiti nemaMosiremu kuti aparadze nyika. Satani anoshandisa vatungamiri vemakereke vasingateveri Magwaro zvakazara vanoshoropodza Bhaibheri reKing James.
Miromo yevaparidzi vemakereke yakavhurika vanoparidza zvisimo muMagwaro ndiwo masuwo eGehena.
Jesu akavashamisa nekuzivisa hutengesi hwaive pakati pevadzidzi vake.
Nhasi tinogona kushamiswa nekukura kwehutengesi hunoitwa nevatungamiri vemakereke vasingagoni kutsigira zvavanotenda neMagwaro.
Kudya Chirayiro Chekupedzisira kwaive kukanganisa kukuru kuna Judasi nekuti kwakamufumura.
Chiitiko ichi chinowanzodaidzwa kuti Chirayiro. Chaiitwa husiku.
Nhasi makereke anochiita mangwanani vanosiya kugezesana tsoka.
Saka makereke vanofumura kutadza kwavo kutevera Magwaro zvakazara.
MARKO 14:19 Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here? Neumwe: Zvirokwazvo handisi ini, ndizvo here?
Vadzidzi vakanga vakarurama vakatya kuti zvichida ndivo vaikanganisa.
MARKO 14:20 Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, anoseva neni mundiro.
Vaive vadya Paseka paive nedhishi raive nenyama nemuto. Vaifanira kutora chidimbu chechingwa vonyika mumuto. Jesu akataura kuti mutengesi achanyika chidimbu chechingwa mumuto. Asi isu vanhu takapofomadzwa nezvakaipa zvekuti Jesu paakapa Judasi chidimbu kuti aseve, hapana pakati pevadzidzi akaziva zvavaireva.
MARKO 14:21 Mwanakomana wemunhu anoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.
Jesu aizofa asi akamutengesa aizotarisana nenhamo yegehena. Zvaizova nani kuti dai munhu uyu asina kana kuzvarwa.
Nhasi tinotengesa Jesu, Shoko raMwari patisingashandisi kana kutenda kuBhaibheri reKing James.
Kune mamwe mavhezheni anodarika zana eBhaibheri reChirungu, ese akasiyana. Kune ndudzi 45,000 dzakasiyana dzemakereke nemasangano. Dzese dzakasiyana. Saka, kereke yava dutu remweya rine mazano akasiyana siyana.
Saka, chokwadi chiri kutengeswa nekumukirwa apo Bhaibheri reKing James rinoshoropodzwa nekushandurwa.
Chingwa newaini micherechedzo yemuviri neropa
MARKO 14:22 Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
Chirayiro chaShe kudya kwemweya. Saka chidimbu chiduku chechingwa chekudya panyama kana waini mucherechedzo wakakwana.
Chingwa chinogurwa. Patinochitsenga chinozara mate kuti tigone kuchimedza nekudzeya kuti tiwane hupenyu kubva kuchingwa.
Jesu ndiye Chingwa cheHupenyu. Varindi vekuRoma vakamusvipira kut azare mate. Ipapo ndipo patinogona kumedza nekunzvera Shoko kuti tinzwisise.
JOHANE 6:35 Jesu ndokuti kwavari: Ndini chingwa cheupenyu;
MATEO 27:30 Vakamupfira, ndokutora rutsanga vakamurova mumusoro wake.
MARKO 14:23 Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakanwa vese pauri.
Mukombe mucherechedzo wedzidziso.
Waini mucherechedzo wekusimudzwa kwezaruriro inoberekwa nedzidziso.
Waini ine mweya mairi unonzi hwahwa. Ropa rine mweya wehupenyu mariri.
MARKO 14:24 Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.
Kana ropa rake rikadeurirwa vazhinji, saka nei ndisingagoni kurikumbirawo?
Saka, tinokwanisa tese kukumbira ruponeso kana tichida hedu kutendeuka.
Ruponeso rwakawanikwa pamuchinjiko.
Patinotendeuka zvivi zvedu zvinopinda muna Jesu. Asi pane kuyambukira kuripo apo kururama Kwake kunopinda matiri.
Ropa raJesu rine hupenyu hwake kana Mweya Mutsvene mariri. Ropa rake rinotisuka kubva kuzvivi Mweya Mutsvene wake unouya wogara mumoyo yedu kuti utiite kuti tirase rudo rwekutadza.
Mweya Mutsvene wake unotikurudzira kuteerera Magwaro nekuti tinoda kuita izvozvo, kwete nekuti tinofanira kudaro.
Mweya Mutsvene unotitungamirira muzvokwadi yose.
MARKO 14:25 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongonwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochinwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.
Waini mucherechedzo wekusimudziwa kwezaruriro. Kudenga, kuchava nehuwandu hwezaruriro kutisimudza. Tichave padanho rekudzidza kusingaperi.
Achitaura nezveChirayiro Pauro akati:
I VAKORINTE 11:21 nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza.
Chinhu chekuti munhu anokwanisa kudhakwa zvinoreva kuti ari kutaura nezvewaini pachirayiro, kwete mazambiringa.
Chigaro chaMwari cheHushe chinokwanisa kufungwa nezvacho sendangariro dzaMwari dzakadzama. Jesu paakagara pachigaro ari Shoko raMwari ari kuunza ndangariro dzaMwari padanho redu kuti tinzwisise rimwe raro. Asi ndangariro dzaMwari dzakadzama zvisina magumo, saka kuita uku hakuperi. Kunzwisisa kwedu kunowedzera apo tinowedzera kutsvaga zaruriro zhinji dzekubwinya.
MARKO 14:26 Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
Chirayiro chinovharwa nenziyo.
Zvinodakadza kuvhara misangano yedu nenziyo tichiimba. Saka, vadzidzi pavakafamba vachibva vachifara mumoyo yavo vapedza musangano wakanaka, Jesu akavaudza kuti vaizotadza zvakaipisisa.
Marko anotiudza pamusoro pekushandira Mwari. Musavimbe nekunzwa kwemoyo yenyu.
Vadzidzi vaizotiza nehupenyu hwavo
MARKO 14:27 Zvino Jesu akati kwavari: Mese muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
Jesu akataura zvakataurwa neMagwaro.
ZEKARIA 13:7 ... rova mufudzi, makwai agoparadzirwa;
Vadzidzi vaizotiza nekutyira hupenyu hwavo pakasungwa Jesu.
Ndiko kwaive kukanganisa kwavo kukuru sevaranda vaMwari. Vakatiza kubva kuShoko raMwari pazvaive zvanyanya kurwadza.
Vakatsvaga kuponesa hupenyu hwavo. Ndiko kubata kwakaipisisa kana uchizvifungira nezvako chete. Mune zvese izvi, vaizodzidza chinhu chikuru.
Mazviri zvese, vaizodzidza chidzidzo chikuru.
Jesu akatevera Shoko. Musazvifungire zvinokuitirai zvakanaka.
Humbwende hwavo hwaizovasiya vachinyara nekuzvidzwa. Pasina Jesu, vaive vasina gwara vasina maturo munhau dzekushandira Mwari.
Saka, pakupedzisira, Jesu akaisa sarudzo kwete muvadzidzi vake. Vaive vasiri zvavaifungira kuti vaive.
Pakupera kwenguva nomwe dzemakereke, Shoko raMwari rinosarudza kuti kwete pakereke. Hatisi zvatinofunga kuti tiri.
Zvese zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pekereke yekupedzisira kutukwa nekushoropodzwa.
Kukereke yeRaodikia Mwari anoti “Vasingazivi”.
Nemamwe mazwi, kuzvikudza kwedu kwemazuvano mumakereke edu tiri kukuita pasina ruzivo rwezviri kuitika.
Vanoziva zvakakwana kuti vaponeswe asi havagoni kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro.
MARKO 14:28 Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichakutungamirirai kuenda kuGarirea.
Vanozodzidza chidzidzo chikuru. Evangeri rinovakirwa pasimba rerumuko. Kwete pakushingirira kwevanhu.
Zvakanyanya kukosha, vanofanira kutevera Jesu kwete kukakavadzana naye kana kumuendera mberi.
Rumuko rwaJesu ndicho chega chiratidzo chaizopihwa kunyika. Hakuna mumwe mutungamiri wechitendero akauraiwa nemuvengi akamuka mumazuva matatu. Izvi zvakaita Jesu munhu akasarudzika.
MATEO 12:39 Asi wakapindura akati kwavari: Zera rakaipa rinofeva rinotsvaka chiratidzo; asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
40 Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu neusiku utatu, saizvozvo Mwanakomana wemunhu achava mumoyo wenyika mazuva matatu neusiku utatu.
MARKO 14:29 Asi Petro wakati kwaari: Kunyange vese vakagumburwa, asi kwete ini.
Chero Mufudzi mukuru akasangana nekutambudzika kwake kwese asina kumboita chakaipa, asi vateveri vake vaimboparadzirwa nekuda kwekutambudzika kuduku kwavaisangana nako.
Zvisinei nekuti tafunga zvakanaka sei pamusoro pedu, nekutenda mumoyo yedu! Zvaive zvakaipa kwazvo kuti Petro adaire Ishe wake achidada nekugona kwake nekuvimbika kwake kwaari. Petro nesu taizova nani kwazvo dai taidaira nekudya nekudedera. “Ishe, ndipeiwo nyasha dzindichengete ndisakuramberi”.
MaKristu vanogona kwazvo kugadzirisa nekuzvinatsa. Tinofunga kuti takashinga uye takavimbika pakutevera Shoko. MuKristu mumwe nemumwe anofunga kuti acharamba amire chero dai vamwe vanhu vose vakawira pasi.
Saka Petro aimiririra vasikana mapenzi, vakaponeswa asi vakanyengerwa nemazano evanhu nemakereke. Vanoponeswa vaine chinangwa chekushandira Mwari zvakanaka. Asi nekuti vakanyengerwa nedzidziso dzekereke dzavo, havagoni zvachose kunzwisisa zvakavanzika zvakadzama zveBhaibheri.
Vakaziva zvinhu zviviri kumativi ese ekumuramba katatu
MARKO 14:30 Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
Iyi ipfupiso duku yenguva nomwe dzemakereke Petro achimiririra vasikana mapenzi.
Jongwe rinorira zvinonyatonzwika parinokukurudza.
Kurira kwakazara kwekutanga kwakanzwikwa nekereke kwakaitwa nemapostora pavakatanga kereke yekutanga yenguva yekutanga. Kunyanya Pauro paakatsanangura zvakavanzika zvakadzama zveMagwaro. Kukukurudza kwejongwe kunomiririra vanhu venguva yekereke yekutanga vakagona kutenda zvakadzidziswa nemapostora.
Budiriro yenguva yekereke yekutanga yaive isiri yekungoti mapostora aidzidzisa chokwadi, asi kwaive kugona kuita kuti vanhu vazvitendere kuchokwadi pachavo.
Saka chokwadi chakaramba chiripo pakafa mapostora, vakafa kunyanya nekuurayiwa.
Johane Muzaruriri akaona Jesu pakati pechigadziko chemwenje.
Saka, nguva yekereke yekutanga iyi chete ndiyo ine chokwadi chakazara yakatangwa nemapostora akadzidziswa naJesu.
ZVAKAZARURWA 1:13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu,
ZVAKAZARURWA 1:17 Zvino pandakamuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; ndokuisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu, achiti kwandiri: Usatya; ndini wekutanga newekupedzisira;
Nguva yekereke yekupedzisira ichafanana nezvaive nguva yekereke yekutanga.
Chokwadi ichi chakarasika muNguva yeRima yakaguma munguva yekereke yechina.
Kuita uku kwakatsanangurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 2.
Kudzorera chokwadi kunopikiswa nevasikana mapenzi
Mwari vakashandisa nguva nhatu dzemakereke kudzorera chokwadi muchiitiko chinoenderera mberi. Kururamisirwa kwakadzidzisa kuti tinoponeswa nekutenda chete, kwete nemabasa. John Wesley akadzorera kunatswa. Nguva yekereke yechinomwe yakaona kudzorerwa kwesimba reMweya wePentekositi nekuzarurwa kwezvakavanzika zveBhaibheri naWilliam Branham.
Asi mune imwe nemwe yenguva dzekudzorerwa, vasikana mapenzi vanobva pachokwadi chakadzorerwa voramba kumwe kudzorerwa kudzorera kwenguva koguma nekufa kwemumutsiridzi wenguva iyoyo. Kuramba kwekutanga kwaive apo vasikana mapenzi pakati pevekwaLuther vakaramba mharidzo yehutsvene hweMethodisti vari pahutungamiri hwaJohn Wesley aparidza hutsvene chete. Vasikana mapenzi pakati pevaMethodisiti vaive pechipiri pakuramba apo vakaramba kudzorerwa kweMweya Mutsvene nesimba rePentekositi hama Branham vakadzorera zaruroro yechokwadi cheBhaibheri. Vachitevera nzira yakaipa iyi munguva yekereke yechinomwe, vePentekositi vaive nesimba reMweya Mutsvene vakapikisa zaruriro yezvakavanzika zveBhaibheri zvakaziviswa nehama Branham.
Nguva nhatu dzekupedzisira dzekereke dzakaperera mukuramba. Nhasi vasikana mapenzi vakaponeswa mumakereke emharidzo vakapedzisa kuramba kwetatu apo William Branham aitidzorera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.
MATEO 17:11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese
Eria ndicho chiGiriki chekudaidza Erija.
Makereke mazhinji emharidzo aiti ane simba rePentekositi vakabva vakapinda pakuturikira zvaakataura vasingashandisi Magwaro. Saka vakangoita rimwe bazi rePentekositi raipikisa zvakazara kudzorerwa kweChokwadi nekuramba kuti tinofanira kudzorerwa pakutenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.
Saka, kwakaita kuramba kudzorerwa kutatu.
Nekudaro, ndiko kuratidzika kunoita kudzorerwa kwechokwadi kubva pamaonero evasikana mapenzi.
Kuita uku kwese hakuna kuzara nekuti havashingiriri kudzorerwa kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.
Saka vanotenda zvinhu zvisina kunyorwa muMagwaro.
Dzidziso dzakaipa dzakaita sedzekuti “William Branham hatadzi uye ndiye Izwi raMwari”. Mutumwa wekuna Zvakazarurwa Chitsauko 10 akauya. Makore manomwe enguva yeKutambudzika kukuru. Zvisimbiso zvinomwe zvakazarurwa. Kutinhira kunomwe kwakareva mazwi ako. Vanoti vanoziva Zita idzva raJesu.
Jongwe richarira kuzivisa chokwadi cheBhaibheri chakaburitswa pachena
Mumashure mekuramba kutatu inenge yanguva yekuti jongwe ririre zvakare.
Jongwe rinorira apo Mwenga akazvimiririra akukwanisa kutsigira chokwadi neMagwaro.
64-0823M MIBVUNZO NEMHINDURO,1
Asi avo vanogamuchira Shoko mukuzara kwaro,
Kwete nekuti ndini ndiri kuriparidza, asi nekuti Bhaibheri rinodaro.
Vanotambira izvozvo vakasunungurwa nekuti Shoko rakatongwa kare.
KUZIVISWA KWENGUVA NOMWE DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9 NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA
... nokuti muprofita wechokwadi achatungamirira vanhu kuShoko osungirira vanhu pana Jesu Kristu uye haangati vanhu vatye iye kana zvaanotaura, asi vatye zvinotaura Shoko.
62-0318 SHOKO RAKATAURWA NDIRO MBEU YEKUTANGA. 2
Zvino, zvinhu zvose zvandakataura, kana zvisingatambirane neBhaibheri, kana kutaura zvakafanana neShoko raMwari, zvakaipa, zvakaipa.
65-0801 MWARI WENGUVA INOYAKAIPA
... kuti vanhu vakatenda kuMharidzo
Yandakapihwa naIshe Jesu kunguva ino, vazive zviri kuitika,
Vozviisa muMagwaro.
I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
Izwi reMutumwa Mukuru rinomutsa vakafa vatsvene veTestamente Itsva sezvinotsanangurwa kuna Zvakazarurwa Chitsauko 10.
Saka, “Kudana” uku chii?
Mwedzi umwechete vasati vafa hama Branham vaive vachiri vakatarisira “kudanidzira” munguva yaitevera.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, panguva ino, ichava nguva yakaita seino pakuchava nekurira kwekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga nokudana, nenzwi reMutumwa mukuru nehwamanda yaMwari, vakafa muna Kristu vachamutswa.
“Kudanidzira” vaive vasiri hama Branham vachitsigira dzidziso dzavo neMagwaro.. “Kudanidzira” ndeapo Mwenga akazvimiririra anogona kutsigira dzidziso dzehama Branham achishandisa Magwaro.
Ipapo tinenge tadzorerwa kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga saka tinenge tagadzirira kumuka kwevatsvene veTestamente Itsva.
ZVAKAZARURWA 18:1 Zvino shure kwezvinhu izvi ndakaona umwe mutumwa achiburuka kubva kudenga, ane simba guru, nyika ndokuvhenekerwa nokubwinya kwake.
2 Akadanidzira nesimba nenzwi guru, achiti: Rawa, rawa Babironi guru, uye rava ugaro hwemadhimoni, nejere remweya yese yetsvina, nedendere reshiri dzese dzetsvina dzinovengwa.
“Kudanidzira” ndeapo Mwenga anogona kutsigira zvaanotenda achishandira Magwaro chete.
Tinofanira kubatsira mharidzo ine simba yemutumwa inotuka tsika dzekusimudzirwa kwehutungamiri hwechiNikoraiti mumapato emakereke. Hatizogoni kukunda zvakaipa zvenguva yanhasi zvese nesimba redu. Tinoda rubatsiro rwevatumwa kuti rutipe zaruriro yechokwadi yezvakavanzika zveBhaibheri. Hutungamiri hwekereke huri mumaoko asiwo. Pasita haana kubvira aiswa pakutungamirira kereke muTestamente Itsva.
ZVAKAZARURWA 18:4 Zvino ndakanzwa rimwe inzwi kubva kudenga richiti: Budai kubva mariri vanhu vangu,
Rimwe izwi zvinoreva kuti harisi izwi raWilliam Branham.
Rimwe izwi izwi raunonzwa mukati mako reMweya Mutsvene richikuudzai makazvimiririra kuti mubude mumakereke ave mariva ekutadza kusimo muMagwaro.
ZVAKAZARURWA 19:1 Zvino shure kweizvi ndakanzwa inzwi guru rechaunga chikuru kudenga, richiti: Hareruya! Ruponeso nekubwinya nerukudzo nesimba kuna Ishe Mwari wedu;
62-1111 NEI IYE ISHE ACHIPOKANA NECHITENDERO CHAKARONGWA
Tarirai, Chitsauko 19 ndicho chinotevera, “Zvino shure kweizvi”.
Maona here kuti muchitsauko 19, “Zvino shure kweizvi”? Tarirai chii? Mumashure mei?
Mumashure meMharidzo yekuti “ Budai maari!”.
“Mumashure meizvi”, tarirai,
“Kudanidzira kweMwenga vatsvene, vane Chikomba.
Vachienda kuMuchato neGwaiana.” tava pedyo zvakadini, hama? Kudana kwekupedzisira ndekupi? Budai mu Babironi!
Zvino, hama dzangu, ndicho chikonzero ndichizvipikisa. Hazvimo muMagwaro. Hazvina kunyorwa. Zvakaziviswa kuti inhema. Mwari haasi mazviri. Haana kubvira ava mazviri.Zvino, handisi kuti hakuna vanhu mumasangano, ndimo mune kereke.
Asi, kana mukaramba muri muboka, muri chikamu charo.
Kana Mwenga akazvimiririra abuda mukereke chete ndipo “kudanidzira” pakuchaitika sezvo vachitsigira kutenda kwavo neMagwaro.
Ndiko kuchava kurira kejongwe kwechipiri.
62-06 TICHAONA JESU
… Garotsvagai zvandinotaura. Kana zvisina kufanana neMagwaro, musatenda mazviri.
Tinofunga kuti tiri kugona asi tichitotadza
MARKO 14:31 Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevesewo vakadaro.
Kuwedzera kwaiita Jesu kumupikisa, ndikowo kuwedzera kwaiita Petro hukasha.
Kuwedzera kunoita Bhaibheri kushoropodza kereke yanhasi, ndikowo kuwedzera kunoita nhengo dzekereke kuita hukasha vachipupurira kereke. Vachashoropodza Bhaibheri reKing James asi havangashoropodzi kereke yavo kana pasita wavo.
MaKristu anozviona ari pamusoro soro kwazvo sevaranda vaMwari. Tinotaura zvinhu zvikuru nemiromo yedu.
Asi Jesu, ari Shoko, anopokana nekutaura ikoko kwese.
Patinoverenga Shoko raMwari hatiwani chero mufananidzo mumwechete kana chiprofita chiri pamusoro penguva yekupedzisira chinotaura zvakanaka pamusoro pekereke.
Kereke yakasika nyengedzo pamusoro pebudiriro yayo.
Zvakafanana neRussia yakazvinyengedza kuti ine simba remauto rakakura payakarwisa Ukraine muna 2022.