Marko 13 Roma ndiyo muvengi weChokwadi kubvira kare
We update studies as the Lord Jesus leads us. You can find the latest update of this study at ChurchAges.net
MaRoma akaroverera Kristu. Mweya wakaipa unorwadza uyu wakapinda munguva nomwe dzemakereke neRoman Catholic.
- Tembere yemaJuda yaizoparadzwa
- Muvengi wedu mukuru kunyengerwa sezvo tinonyengereka zviri nyore
- Zviitiko zvenguva yekupedzisira zvinorema
- Zita raesu rakavengwa parubapatidzo
- Pope akava mambo wemadhimoni ePugatori
- Vanhu veMunhu weZvivi wekupedzisira vaive maRoma
- Roma painorwisa Jerusarema budai nekukasika ndizvo zvinotaura Jesu
- MaJuda anobuda ozodzoswa nekuurayiwa kunotyisa
- Madhimoni mukereke anokonzeresa rufu pamweya
- Madhimoni akasunungurwa pamaJuda achibva azopinda mumakereke
- Mwenga anokwira kudenga Mwari votendeukira kumaJuda
- Tinofanira kumuka pakupedzisira kwete kuvata tokotsira
Tembere yemaJuda yaizoparadzwa
Mabhuku mana eEvangeri anomiririra zvisikwa zvipenyu zvina zvakapoteredza chigaro cheHushe.
Anotiudza pamusoro pechigaro chehushe chiri Kudenga chakagarwa neMunhu mumwe.
ZVAKAZARURWA 4:2 Zvino pakarepo ndakava muMweya; zvino tarira, chigaro cheushe chakagadzwa kudenga, nepamusoro pechigaro cheushe umwe agere.
ZVAKAZARURWA 4:6 Zvino pamberi pechigaro cheushe pakange pane gungwa regirazi, rakafanana nekrisitaro. Nepakati pechigaro cheushe nepakapoteredza chigaro cheushe pane zvisikwa zvina zvipenyu zvizere nemeso mberi neshure.
7 Zvino chisikwa chipenyu chekutanga chakange chakafanana neshumba, uye chisikwa chipenyu chechipiri chakafanana nemhuru, nechisikwa chipenyu chechitatu chakange chine chiso semunhu, nechisikwa chipenyu chechina chakange chakafanana negondo rinobhururuka.
Marko ndiro Evangeri rechipiri rinoisa kukosha pachisikwa chipenyu chechipiri, mhuru kana dhonza duku rinomiririra kukura nekudzidza kuti tishandira Mwari sei semutakuri wemutoro kana muranda.
Mhuru inoshingirira kwenguva refu painokura kuita nzombe huru zvinotidzidzisa kuti zvinotora nguva refu tisati tadzidza kuti toshandira Mwari sei. Nzombe ndicho chipfuwo chinobata mabasa nekuzouraiwa kuti pawanikwe nyama. Saka, kana muchida kushandira Mwari tarisirai kurovererwa, nemashoko kana neshamhu.
Kushingirira, kushanda, nekuurayiwa ndizvo zvinhu zvitatu zvinotsanagura kereke yemaKristu echiHedeni apo vanoshingirira vachirwisana naDiaborosi munguva nomwe dzemakereke.
MARKO 13:1 Zvino wakati achibuda mutembere, umwe wevadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe rudzii, nezvivakwa rudzii!
Vadzidzi vaifadzwa kwazvo nezvivakwa zvakanaka zvakavakwa nevanhu. Vakakanganwa kuti murume aive aisa mari yekuti Tembere ivakwe aive mambo Herode (aive asiri muJuda sezvo aibva Idumea kuzasi kweIsraeri.
Herode akanga aitwa mambo nemaRoma aiziva kuti aive atora chinzvimbo zvechisimba. Saka, aiuraya chero munhu aiisa chinzvimbo chake panjodzi sezvo aive asiri mwana werudzi rwaDavidi. Saka, Herode aive aedza nepaaigona napo kuuraya uyo akazvarwa ari Mambo, Jesu Kristu paaive nemakore maviri. Saka, mweya wekuuraya Shoko nekuita mari wakapinda muTembere. Vatongi vemuTembere vaivengawo Jesu sezvo aive chipingaidzo pakuita kwavo mari. Temberi yaive yaunganidza pfuma zhinji. VaSeduse nevaFarise nevaRabi havana kubvira vataurwa muTestamente Yekare. Saka Jesu akaita kuti vanzwe kusagadzikika pazvinzvimbo zvavo zvehutungamiriri hwavakatora nechisimba saka vaitsamwa naJesu chero mukana wavawana wekumutsamwira.
Zvakafanana, mapasita haana kubvira aiswa pakutonga kereke muTestamente Itsva. Saka, naivowo havanzwi kugadzikika vari pazvinzvimbo zvekuzvisimudzira vega zvemunhu-mumwechete-anotungamirira-kereke. SaHerode, kusagadzikika kunovaita kuti vatsamwire zano riri muMagwaro remakereke maduku anosanganirana mudzimba achitongwa neboka revakuru vekereke panzvimbo vanoedza kuita kuti vanhu vatevere Magwaro. Nhasi, totenda tekinoroji yeZoom iri pamakombiyuta nembozhanhare, vanhu vakasiyana nemapoka maduku vakukwanisa kusangana paIntaneti kunodzidza nekudzidzisa chokwadi nekutaurirana.
Kuna Mateo 13 kune mifananidzo minomwe yeHushe hweDenga inomiririra nguva nomwe dzemakereke. Mufananidzo wechinomwe une (NETI) RUTAVA (Intaneti) rinotsvaira mugungwa remarudzi nevanhu vasina kugadzikika. Vanhu vakazvimiririra vanoraramira kure nekure vanobatana vachishumira Mwari nekudzidza Chokwadi cheBhaibheri.
Tinofanira kuziva chokwadi pamazuva ekupedzisira kuti tinzwisise zvakavanzika zveBhaibheri reKing James. Hatifaniri kuramba takakotsira mukudekara kwekusaziva zvakawanda zvemavhesi eBhaibheri. Sekunge mavhesi eBhaibheri akaoma angoriwo nhau dzinoda kufuratirwa. Nekudaro tinofukidzira kusaziva Bhaibheri kwedu toramba kubvuma zvatinotadza zviri muBhaibheri.
Vatungamiri vechiJuda vaive vasisashumiri Mwari nekuti vakaramba hushumiri hwaJesu.
Asi Tembere yakaungaanidza pfuma zhinji zvakapa vatungamiri vazhinji vechiJuda mabasa anobhadhara kwazvo.
Saka Jesu, ari Shoko raMwari, akabuda muTembere. Iri raive gore AD 33. Kukosha kuri paShoko richibuda muTembere.
Ikozvino amire kunze kwemukova weTembere achitaura kuvadzidzi vake. Ndiwo magumiro akaita Tembere kuva nebasa kuna Mwari nekuti Shoko raive risisatambirwi muTembere.
Tembere yakashanduka kubva pakuva dura rechokwadi nekuchengetedzeka kuva riva rehunyengeri raizotungamirira pkuuraiwa kukuru makore anoda kuita 37 aizotevera muna AD 70 apo mukuru weRoma yemapegani aizoparadza guta neTembere.
Uku kuratidzirwa kwekereke yevaHedeni “mukereke yeRaodikia” (vanoita zvitendero zvavo vega zvekereke nedzidziso dzavo) vakadzingawo Jesu ari Shoko rakaziviswa, Bhaibheri reKing James, kunze kwekereke. Asi maKristu achiri kufadzwa nezvivakwa zvemakereke avo, zvisinei nekusaziva kukuru kwavanako muzvakavanzika zveBhaibheri. Kereke haichisina basa nekutevera Bhaibheri zvakazara. Havachina basa nekutora Bhaibheri reKing James seChokwadi Chikuru. Nhasi Jesu, ari Shoko rakaziviswa, haachatambirwa mukereke. Akamira kunze kwemukova wekereke.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
MARKO 13:2 Jesu achipindura akati kwaari: Unoona zvivakwa izvi zvikuru here? Hakungatongosiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingatongoputsirwi pasi.
Tembere yakaramba Jesu. Saka, yaizoparadzwa zvakazara.
“Masvingo makuru” panzvimbo yeTembere muJerusarema chimisikidzo chikuru chemabwe chine matanho manomwe anoonekwa emabwe kubva munguva yeHerode. Tichiwedzera, kune matanho gumi nemanomwe emabwe pasi pevhu zvakare. Haingaite nzvimbo yaive neTembere nekuti mabwe ese aizokandirwa pasi pakurwiswa kuviri kwakaitwa neRoma muna AD 70 nepakati pegore AD 132 – 136.
Mubati weRoma Hadrian aive akavenga maJuda aida kuparadza zvese zvaivepo zveTembere paakavarwisa.
Tichiwedzera pachinhu chekuti kukura kwegomo reTembere kwakapetwa kaviri pane zvakanyorwa naJosefasi muna AD 70 kwaive humwe humbowo hwekuti Hadrian, kwete Herode ndiye akavaka masvingo makuru.
Hadriani akavaka foti yeRoma muJerusarema. Mafoti eRoma aifanira kuchengeta vanhu 5000 uye aive ari pamaeka 36 ari muchimiro cherekitengo. Masvingo erekitengo akakomberedza nzvimbo yeTembere aive akavharira nzvimbo yakakura maeka 37.
Vanhu vazhinji vanotenda kuti masvingo egomo reTembere erekitengo ndiwo aive masvingo eFoti Antonia yeRoma akavakwa naHadrian. (rekitengo huru tsvuku inoratidzwa mumufananidzo unotevera).
Zioni yaive nezvitubu. Hamuna zvitubu mugomo reTembere.
MAPISAREMA 87:5 Zvirokwazvo pamusoro paZioni vachati:
MAPISAREMA 87:7 Vanoimba navanotamba vachati; matsime angu ose ari mauri.
Saka, maJuda achinamata pamasvingo makuru (inova nzimbo duku mutiraiengo huru tsvuku) inzvimbo dzisiriidzo. Semakereke achinamata Tiriniti, Kisimusi, Chishanu Chakanaka, (makore manom we enguva yeKutambudzika, William Branham ndiye Izwi raMwari, nezvimwe zvakadaro. Idzidziso dziri munzvimbo dzisiriidzo. Tinofunga kuti Mwari anofadzwa nekushingaira kwedu vanhu kunokudza chokwadi nekutadza. Chiri kutsvagwa naMwari ichokwadi chakazara. Chisina kusvibiswa netsika dzemakereke nemafungiro edu.
Chisipiti chiri padyo padyo chisipiti cheGihoni.
Vanhu vakawanda vanotenda kuti Tembere yakavakwa munzvimbo yechisipiti cheGihoni (sikweya duku tsvuku) isati yaparadzwa kuti pasaonekwe masvingo nzvimbo iyi yaive yakafukidzwa nevhu nemubati weRoma Hadriani aida kuparadza humbowo hwese hwehuvepo hweTembere. Izvi zvaizozadzisa chiprofita chaJesu.
Masvingo eGuta Dzaru anoratidzwa muruvara rutema. Gomo reTembere ndiwo rekitengo guru dzvuku. Mabwe makuru aya haana kukandirwa pasi ese.
Uyu mucherechedzo wekereke yekupedzisira yeRaodikia iyo “isingazivi” kuti inotenda zvinhu zvakawanda zvakaipa zvavanodzidziswa nevaparidzi vavo mumakereke avo akavata. Ndicho chikonzero nei vasikana vese gumi (musikana mukadzi akachena mhandara anomiririra vanhu vakaponeswa mukereke) vanotsanangurwa sevakarara. Pacharira mhere yekumutswa ichavaudza kuti vagadzire mwenje yavo vainatse kubvisa zvenyika nekutadza kwemakereke kuti vawane mwenje wakachena unonzwisisa Bhaibheri uye “vabude” mune chero makereke avari.
MATEO 25:5 Zvino muwani wakati achinonoka, vese vakatsumwaira vakarara.
6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
7 Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
MaJuda akaramba Jesu ari Messiasi pakupedzisira.
Kereke yakaramba Jesu ari Shoko, Bhaibheri reKing James, pakupedzisira.
MARKO 13:3 Zvino wakati agara pagomo reMiorivhi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza vari vega, vachiti:
Jesu aive ataura pajekerere pamusoro pekuparadzwa kweTembere.
Asi vana vevadzidzi vake gumi nevaviri ndivo vega vakaratidza kuda kuziva zvaaitaura pamusoro pezviitiko zvaizouya. Vakauya kwaari muchivande kuti vadzidze zvakawanda.
Izvi zvinoratidza kuti vashoma vemaKristu vanofadzwa nekutsvaga chokwadi pamusoro pezviitiko zvichauya. Vamwe vese vakarara mukusaziva kwavo Bhaibheri.
Vanofunga kuti nekuti vakaponeswa saka vanopinda mukukwira Kudenga mukubwaira kweziso apo Jesu anotora kereke yake kunosangana naye kumakore.
Hamugoni kuponeswa kubva kugehena nekuita mabasa akanaka.
Apa Jesu aizotiudza mabasa ataifanira kuita.
Saka mabasa aya, asingagoni kutiponesa kubva kugehena, ndiwo anofanira kuitwa nemaKristu kuti vaponeswe kubva kunguva inouya yeKutambudzika kukuru.
MARKO 13:4 Tiudzei, izvozvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii kana izvozvi zvese zvozadziswa?
Marko akabvunza mibvunzo miviri chete. Kuti Tembere yaizoparadzwa rini uye kuti hushumiri hwekereke yevaHedeni hunoguma rini neKuuya kweChipiri kwaShe?
Kuna Marko, havana kubvunza Jesu kuti aizouya rini vakangobvunza chiratidzo chekuzadziswa kwenhorondo yekereke yevaHedeni.
Mateo anotaura Kristu ari Mambo wevaHedeni nemaJuda.
Mateo aive nemibvunzo mitatu.
Vakabvunzawo kuti Tembere yaizoparadzwa rini? Mambo vanoshanda nekereke yevaHedeni inogumira muKuuya kwaShe. Havana kubvunza kuti aizouya rini, vakangobvunza chiratidzo cheKuuya Kwake?
Kristu ari mambo anoshanda nemaJuda zvinoperera muAmagedhoni panoguma nyika. Chiratidzo chipi chichavako paAmagedhoni pakupera kwenyika?
MATEO 24:3 Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?
Vakabvunza mibvunzo mitatu.
Chekutanga. “Zvinhu izvi zvichava rini?” Izvi zvinobata kuparadzwa kweTembere.
Izvi zvakaitika muzvikamu zviviri. Tembere yakaparadzwa nemubati weRoma Tito muna AD 70. Ipapo zvese zveTembere zvakatsvairwa nemubati weRoma yemapegani Hadrian akavaka Tembere yeRoma yemapegani panzvimbo yeTembere. Hakuna ibwe rimwe reTembere rakasiiwa panzvimbo nzvimbo yeTembere yakafukidzwa nevhu. Hadriani akavakawo mamwe masvingo makuru erekitengo eFoti Antonia (rekitengo tsvuku iri mumufananidzo uri pamusoro) kuti vaRoma vatungamirire guta nekuita kuti maJuda agarire kunze. Tembere yemapegani yeJupita yakavakirwa panzvimbo yeTembere (sikweya duku tsvuku). Mubati weRoma Constantine, anoti muKristu, akazoparadza tembere yeRoma yechipegani iyi zvakazara.
Muvengi wedu mukuru kunyengerwa sezvo tinonyengereka zviri nyore
MARKO 13:5 Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava neanokutsausai.
Kuti titorwe kukwira Kudenga mukubwaira kweziso kunosangana naJesu kumakore, tine mabasa atinofanira kuita. Chekutanga kunzvera zvakazara zvinotaurwa nechero munhu neMagwaro.
Nguva yatinotenda zvimwe zvinhu zvisimo muMagwaro, tinorasika.
Eva akakanganisa chinhu chimwechete akadzingirwa kunze kweEdeni.
MARKO 13:6 Nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu, vachatsausa vazhinji.
Chisimbiso chekutanga chakaratidza kuti mweya waantikristu wakapinda mukereke yeRoma kusvikira wagadzira korona ine mitumbi mitatu yakashandiswa naPope Clement V akazofa muna AD 1314.
Mweya waantikristu uyu waive newuta asi pasina museve, saka airopodza. Waive munyengeri. Bhiza jena rinotaura pamusoro pechitendero chinofanira kutinatsa kubva kuzvivi zvedu. Saka munyengeri wechitendero anotasva kuti akunde kutora korona yake otapa vemasangano akapikisa chitendero chake nedzidziso yake yechitendero chinoita munhu mumwechete anotonga sangano rekereke.
ZVAKAZARURWA 6:1 Zvino ndakaona Gwayana parakazarura chimwe chemicherechedzo, ndokunzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti, senzwi remutinhiro: Uya uone.
2 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza jena, naiye wakaritasva wakange ane uta; korona ndokupiwa kwaari, zvino akabuda achikunda, uye kuti akunde.
Tinonyengerwa zviri nyore nevaparidzi vemakereke vakazodzwa nesimba reMweya Mutsvene asi vachidzidzisa zvisimo muMagwaro. Vane simba reMweya asi vasinganzwisisi chokwadi cheBhaibheri.
MATEO 5:45 Kuti muve vana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa nevakanaka, nemvura vanoinaisira vakarurama nevasakarurama.
Mvura inonaya inotaura nezveMweya. Mweya waMwari unozodza nekupindura minamato yevanhu vose vakanaka nevakaipa. Musatongere munhu nekuti minamato yake ine simba sei asi mutongei nekuti anotevera Magwaro zvakadii. Danho rauri pakutevera Magwaro rinoratidza chinzvimbo chako mumuviri waKristu.
MATEO 7:21 Haasi wese anoti kwandiri: Ishe, Ishe, achapinda muushe hwekumatenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.
“Hushe hweDenga” chii?
“Ishe Ishe” kudana kaviri. Vanoenda kumakereke vaisimbisa kuti Jesu aive Ishe wavo. Asi kwaingove kutaura kwavo. Vainzwa zvakanaka kwazvo pamusoro pekuita kwavo ikoko kwekuzvitsanangurwa nekuratidza zvinangwa zvavo zvekuti Jesu ndiShe wavo zvekuti havana kufunga kuti vaifanira kuziva chokwadi cheBhaibheri zvakanaka.
Havana kubvira vaita shungu dzekunzwisisa Shoko rakaziviswa mu Bhaibheri reKing James Vhezheni. Vaingoparidza mafungiro avo netsika dzavo dzemakereke zvakavaita vane mbiri mumakereke avo.
Chinhu chakakosha kuziva Kuda kwaMwari nekunzwisisa Bhaibheri reKing James rakaziviswa.
Hushe hwaMwari ndiwo Mweya Mutsvene uchigara mukati nenyu.
RUKA 17:21 uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.
Mwari vanogara Kudenga. Saka Hushe hwaMwari (Mweya Mutsvene) huchigara mamuri unozarura meso enyu kuti ukuratidzei kuda kwaMwari kwaanoda kuti muite.
Pamunopinda mukuda kwake munguva yekereke yechinomwe, Hushe hweDenga kuzuva redu ranhasi.
Kuda kwaMwari kunguva yekereke yekupedzisira kuita kuti zvakavanzika zveBhaibheri zviziviswe neMagwaro kuti mudzoke kuzvitendero zvakatendwa nemapostora ekereke yekutanga. Chigadziko chemwenje chekutanga chete ndicho chakakosha nekuti ndipo pakaonekwa Jesu naJohane.
ZVAKAZARURWA 1:13 nepakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu,
Hushe hweDenga munguva yekupedzisira kana nguva yekereke yechinomwe huchasvikwa kana tadzokera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga pakanyorwa Testamente Itsva.
Muonero wegondo wenguva yekupedzisira wehama Branham unotidzorera kuBhaibheri rakanyorwa renguva yeshumba yemapostora. Kuda kwedu kukuru kutevera Magwaro zvakazara.
MATEO 7:22 Vazhinji vachati kwandiri pazuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here, tikabudisa madhimoni muzita renyu, tikaita mabasa esimba mazhinji muzita renyu?
Vanhu ava vakaita zvibereko zvemasimba anodakadza emweya unoshamisa zvakanakisa.
MATEO 7:23 Zvino ipapo ndichareva kwavari pachena ndichiti: Handina kukuzivai chero nguva; ibvai kwandiri imwi vaiti vezvakaipa.
Kutadza nebwoni kutadza uchiziva kuti uri kutadza.
Vanorwisa kana kufuratira Magwaro voziva kuti kune Magwaro mazhinji avasinganzwisisi.
Vakaisa simba ravo rese pamabasa emweya vakazvinyengera kuti zvaive zvisina kukosha kunzwisisa zvakavanzika zveBhaibheri zvakaziviswa naWilliam Branham. Saka vakafuratira muprofita wenguva yekupedzisira akatumwa naMwari kuti atibatsire tese uye kuzvikoshesa kuti vasimudzire maonerwo avanoitwa nevanhu. Kuzvisimudzira uku kutadza nebwoni nekuti kunobva patsika dzevaNikoraiti. Kusimudzirwa kwemunhu mutsvene kuti ave musoro wekereke.
Vaparidzi ava vanoda kufadza vanhu nemasimba anoshamisa ehushumiri hwavo. Vanofanira kufadza vanhu nekuvadzidzisa zvakavanzika zvakaziviswa zveBhaibheri reKing James zvakaziviswa naWilliam Bramhan.
MARKO 13:7 Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musakanganiswa; nokuti zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere.
Makore 2000 aizotevera aizotsanangurwa nehondo dzisingaperi. Ndizvo zviri hunhu hwevanhu.
Hondo idzidziso yakaoma tinofanira kunamata kuti tisapinde muchidzidzo ichocho.
Mukuipa kweHondo, madhimoni ane huurayi anogona kusunungurwa.
AD 70 igore rakaona maJuda 1,100,000 vachiurawa mumwedzi mishanu apo Roma yemapegani yakaparadza Jerusarema neTembere. Pakati pegore AD 132 – 136 mamwe maJuda 580,000 vakaurayiwa neMubati weRoma Hadriani. MaJuda akaparadzirwa muHushe hweRoma.
Mweya yemapegani yakaipa iyi yakapinda mukereke yeRoman Catholic ikauraya makumi emamiriyoni evanhu vaisatenda muchiCatholic muNguva dzeRima.
Kukanganisa kukuru kwekereke yeCatholic kwaive kwekupinda munezvematongerwo enyika.
Hamugoni kushaya tsitsi kukunda munhu wechitendero anofunga kuti kuti abatire Mwari zviri nani anofanira kuuraya chero munhu anomupikisa.
Chitendero chisina tsitsi hutsinye husingatsananguriki.
ZVAKAZARURWA 6:3 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: Uya uone.
4 Zvino kwakabuda rimwe bhiza dzvuku; newakaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, nokuti vaurayane; ndokupiwa kwaari munondo mukuru.
“Rimwe bhiza” asi kwete umwe mutasvi. Mweya mumwechete waantikristu uyu wakaparidza hunyengeri hwechitendero hwakazotora simba rezvematongerwo enyika kuitira Pope ari pahutungamiriri ari musoro wekereke yake yechitendero uye zvematongerwo enyika Roman Catholic.
Kuuraya kukuru kwechitendero uku kwakazoguma mumakore 30 ehondo muGermany zvakakonzerera kuparara pakati pegore 1618 negore 1648. Vose maCatholic neveMasangano akaipikisa vaive vaneta nekudeura ropa kusina magumo.
John Wesley akabva aparidza hutsvene nerudo pakati pehama munaShe nekuparidzira kwechiKristu zvakabereka nguva inoshamisa yemamishinari. Hunhu hwechiKristu hwakavhara mweya wemapegani wehumhondi waive usisakwanise kuuraya nezita rekereke.
Dambudziko raSatani raive rekusunungura mweya isina tsitsi iyi zvakare. Makereke aive asisakwanisi kumira achiuraya muzita raShe.
Hondo mbiri dzepasi rese. Hondo yeKorea. Hondo yeVietnam. Hondo yeIran neIraq. Hondo mbiri dzeIraqi. Hondo yeAfghanisitani. Kutapa kwakaitwa Ukraine neRussia muna 2022.
“Guhwa reHondo” rinotsanangura makore 45 ehondo yaidaidzwa kuti Cold War. America neSoviet Union dzakarwisana vachishandisa nyika duku kurwa ivo vachi dzitsigira. Izvi zvakabvisa njodzi yekuti ivo vashandise mabhomba avo enyukiriya nemamiziri avo angadai akaparadza zvakazara nyika idzi dzese dziri mbiri.
Cold War yakatora nguva refu nekuda kwezvinhu zvikuru zviviri, chinhu chekuti zvombo zvenyukiriya zvaishandiswa, saka kutarisana kusina chivande kwaizodhurira mativi ese, saka vakaedza nepavaigona napo kusaita saizvozvo. Saka America neRussia dzakarwa dzichishandisa dzimwe nyika.
Chimwe chikonzero chaive chekuti Soviet Union yakawa nekuda kwehuwori hwayo nekusagona kuumba chinoonekwa, nekuda kwekushaya simba kwemakwikwi aya zvakapa kushandisa mari zvisina hanya pamauto. Kuita uku kwakatora makore kuti kuitike, ndicho chikonzero nei Cold war yakaita makore 45.
MARKO 13:8 Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; neushe huchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
Makore ekunana 1900 akaona hondo huru pakati penyika. Nyika dzekumadokero dzakatonga pasi rese nehushe hwado asi dzakazviuraya pamari nekuzvirwisa muhondo mbiri dzepasi rese. Vakarasikirwa nehushe uye hondo zhinji dzekupandukirana munyika pachavo dzakarwiwa muhushe humwe nehumwe zvakakonzerwa nenhamo nematambudziko apo mapato akasiyana siyana ezvematongerwo enyika akarwa kuti adzoreredze nyika imwe neimwe.
Ipapo, zvinosuwisa, zhinji dzenyika itsva kana kuti hushe hutsva dzakarwisa vavakidzani vadzo.
Mumakore zana adarika, takaita kudengenyeka kwenyika kunosvika ka 16 gore rimwe nerimwe.
Mauto eRussia muUkraine muna 2022 ari kurwisa achiziva mapato echikafu nezvekurima kuti vatyise pasi rese nenzara. Vanoda kuti chikafu chisakwane pasi rese zviite kunge nzara votaura kuti pasi rese chikafu hachichakwane. Saka vanotarisira kushandisa matambudziko aya kumanikidza nyika dzekumadokero kupindira.
Hondo yeRussia neUkraine iri kuunza hondo, nzara, nematambudziko ezvemari zvinhu zvokwira. Saka chiratidzo chekuti nguva yekuguma kwenyika yaswedera.
Horodoma inozivikanwa zvakare nekunzi Tera-femaini kana Nzara huru, yaive nzara yakakonzereswa nevanhu muSoviet Ukraine kubva muna 1932 kusvika 1933 yakauraya vanhu vanosvika 4 miriyoni vemuUkraine mukutonga kwemudzvanyiriri Josefa Stalin.
Kubva muna 1958 vanhu vanosvika 55 miriyoni vechiChina vakafa nenzara munzara yakakonzereswa nevanhu kuti ibatsire kutanga komiyunizimu muChina.
Asi matambudziko makuru ari kuuya. Matambudziko enguva yakadarika ari kungogadzirira nhandare kuti matambudziko makuru enguva yeKutambudzika kukuru iri kuuya.
Russia nemhirizhonga yehondo China nehunyanzvi munezvemabhizimisi ari kuisa nyika zhinji pakuikwereta uye kukudza zvemauto zvadzo muGungwa reChina yeKuzasi vakashandisa nzara nematambudziko kuti zvinangwa zvavo zvizadziswe. Nyika mbiri idzi dzine kurudziro huru pazvinhu zvepasi rese.
Ukraine inopa nyika zhinji pasi rese mafuta ekubikisa nechikamu chikuru chegorosi.
Zviwanikwa zvavanoendesa kune dzimwe nyika izvi zvakamiswa mugore 2022 nekupindira kwakaita hondo yeRussia.
Chiratidzo chenguva.
Chisimbiso cheChitatu chekuna Zvakazarurwa 6 chinoratidza chikafu chichipimwa chichitengeswa nepeni waive muhoro wezuva rimwe wemushandi wenguva yechigumi neimwe.
MATEO 20:2 Wakati atenderana nevabati padhenario pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
Kuprofitwa kunotyisa kwekutambudzika kwevanhu kuti vagone kutenga chekudya.
“Mutipei nhasi kudya kwedu kwezuva rino” zvakataurwa pamunamato waShe, zvinotora kukosha kukuru.
Makereke vari muyanano nebhiza dema remadhimoni eBhizimisi guru Vatican ndiro bato rakapfumisisa panyika, ine mari inosvika $10 Tiririyoni uye hairipire mitero.
Makereke makuru akasimuka nekushandisa nzira dzakasimba dzekutengesa.
Dambudziko guru rimwechete remamegachechi nderekuti mune kumbunyikidzwa nemapasita zvinoratidzirwa nehutungamiriri hune hudzvanyiriri.
Mumakore achangodarika, maKristu mazhinji, nevamwe vasiri maKristu, vakashamiswa nehuwandu hwemapapasita emamegachechi akaziviswa kuti aimbunyikidza vanhu, vaive nehutsinye, kana kuti vaimbunyikidza munhau dzepabonde. Kana vakuru vemakereke vakawana simba rekutora mari dzenyu, hazvivaite vanhu vari nani.
Zviviri zvezvinhu zvina zvataurwa muChisimbiso chechitatu mafuta negorosi.
Mafuta anobatawo kumafuta ekufambisa anofamba nedzimotokari nhasi.
Chiprofita ichi chinotaura kuti chikafu nemafuta zvichakwira mitengo. Saka ndipo patinoita setiri muZano raMwari. Nzara iri kusimuka kuita dambudziko guru rinotyisa. Mutengo wemafuta uri kukwira zvinosimudza mitengo yezvinhu zvese nekuti zvinofambiswa nedzimotokari.
Muna 2022 mari yakava dambudziko guru. Hondo yeRussia neUkraine yakaona zvinhu zvichisimuka, mari ichidonha, zvinhu zvichikwira pasi rese. Musika wemari wakageda geda muripo wekurarama ukatanga kurema.
America yakakwereta $5 Tiririyoni munguva yeCOVID-19 kuti ipe kuvanhu kuti vawane mari yekushandisa kuti vazvichengetedze kubva kukurwadza kwehupfumi kwakauya nechirwere ichi. Izvi zvakasika kukura kwekudiwa kwezvinhu zvakasangana nevanogadzira vazhinji vakarovana misoro zvakakonzerwa nehutachiwana. Maindasitiri aive asina kugadzirira kuti zvinhu zvichadiwa zvakadaro. Mabhizimisi akasimuka panhau iyi yekudiwa kwezvinhu kwaive kwawedzera vakakwidza mitengo. Kudonha kwemari yeAmerica kwakakwira kusvika pa 8.9% muna Kurume 2022. Murairo wezviwira vanhu usina kugadzirirwa.
ZVAKAZARURWA 6:5 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: Uya uone. Zvino ndikaona, uye tarira, bhiza dema, newakange akaritasva wakange ane chiyereso muruoko rwake.
6 Zvino ndakanzwa inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: Chiyero chezviyo nedhenario, nezviyero zvitatu zvebhari nedhenario; nemafuta newaini usazvitadzira.
“Nzara nematambudziko”. Hutachiwana hweCOVID-19 hwakakonzeresa zvakanyanya matambudziko nekupfiga zvinhu uyewo nehurwere. Zvikwereti zveAmerica zvakawedzera.
Zvinoita sekuti tinofanira kutarisirawo kudengenyeka kwenyika mune nzvimbo dzakakosha dzinokanganisa hupfumi hwepasi rese.
Pakudengenyeka kwenyika kukuru kwakadai, zvakafanofungidzirwa nevesainzi kwenguva refu, kuchaona Los Angeles ichiwira mugungwa. Los Angeles iri mumutsetse wekudengenyeka kwenyika weSan Andreas. Izvi zvichazunza California dunhu reAmerica rakapfumisisa. Izvi zvichakuvadza hupfumi hweAmerica yatonzwa nezvikwereti kare.
Izvi zvinogona kuzarura musuwo wekutendera kereke yeRoman Catholic kutonga America nehutsinye apo Roma inotungamirira America kunoparara kwayo. Chiprofita ichi chakaitwa muna 1933 nemuprofita wenguva yekupedzisira William Branham.
Tichiwedzera, chitsuwa cheTaiwan chiriwo mumutsetse wekudengenyeka kwenyika. Ndiyo yega nzvimbo iri panyika inogadzirwa machipi emakombiyuta emhando yepamusoro soro.
Nhanho inotevera ndeyeChisimbiso cheChina chinotyisa umo Rufu runotasva kekupedzisira pabhiza rakachenuruka rinova mubatanidzwa webhiza jena, dzvuku, nebhiza dema. Bhiza jena rehunyengeri hwechitendero rinobatana nebhiza dzvuku rezvematongerwo enyika nebhiza dema remadhimoni emabhizimisi.
Rufu runopinda chete kana Hupenyu hwabva. Saka Mweya Mutsvene unenge watora Mwenga wechokwadi kuenda naye Kudenga kunosangana naShe kumakore kuChirayiro cheMuchato neGwaiana.
Rufu kushaikwa kweHupenyu. Kota yevanhu pasi rese inourawa, vanhu 2 bhiriyoni.
Kereke ndiyo yakanangwa nekuti vanhu 2 bhiriyoni ndivo vanozviita maKristu. Vakasiiwa. Vaitenda mukereke yavo. Kwete muBhaibheri reKing James.
Ndivo vasikana mapenzi. Vakaponeswa nguva yeKutambudzika kukuru isati yasvika pakabva Gwaiana pachigaro chenyasha kuti risangane neMwenga. Asi vakanyengerwa nedzidziso dzekereke dzisimo muMagwaro. Vakakandirwa mugehena renguva yeKutambudzika kuti varase kutenda kwavanako muvatungamiri vemakeke avo. Asi hakuna tsitsi kana ruponeso kune vaHedeni vasina kuponeswa munguva yeKutambudzika kukuru.
Nguva inenge yasvika nguva yeKutambudzika kukuru yotanga. Nguva yekurwadziwa kukuru apo nhengo dzekereke dzakaponeswa dzinoona kuti dzakanyengerwa.
ZVAKAZARURWA 7:9 Shure kwaizvozvi ndakaona, zvino tarira, chaunga chikuru, chisina anogona kuverenga, chinobva kundudzi dzese, nemarudzi, nevanhu, nendimi, vakamira pamberi pechigaro cheushe nepamberi peGwayana, vakamonera nguvo refu chena, nemichindwe mumaoko avo;
ZVAKAZARURWA 7:13 Zvino umwe wevakuru wakapindura, achiti kwandiri: Ava vakapfeka nguvo refu chena ndivana ani, uye vakabvepi?
14 Zvino ndakati kwaari: Ishe, ndimwi munoziva. Zvino akati kwandiri: Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakasuka nguvo refu dzavo, uye ivo vakadzichenesa muropa reGwayana.
Vaifanira kusukwa muropa reGwaiana nguva yeKutambudzika kukuru isati yatanga, Gwaiana richiri pachigaro chenyasha. Gwaiana rakabva pachigaro chenyasha kuti riburuke kunosangana neMwenga paKuuya kwaro kweChipiri. Saka vasikana mapenzi vakaponeswa kubva kugehena mumakereke avo asi vanoda kuzunzwa nenguva yeKutambudzika kuti ibvise kutadza kwemakereke avo kwese mundangariro dzavo. Vaifanira kudzidza kuti Jesu (ari Bhaibheri reKing James) ndiye Musoro wekereke, kwete pasita.
63-0318 CHISIMBISO CHEKUTANGA
Tora Bhuku ... reZvisimbiso uzvizarure uratidze mutumwa wechinomwe, nekuti izvi zvoga, zvakavanzika zvaMwari, ndizvo hushumiri hweMutumwa wechinomwe.
Tinoda maonero eGondo kuti tinzwisise micherechedzo nenzira dzeMagwaro.
Tinogona chete kupunyuka nguva yeKutambudzika kukuru nekutevera Magwaro nekudzokera kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga.
ZVAKAZARURWA 6:7 Zvino rakati razarura mucherechedzo wechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: Uya uone.
8 Zvino ndakaona, uye tarira, bhiza rakachenuruka, newakange akaritasva zita rake Rufu; uye hadhesi rakateverana naye. Simba ndokupiwa kwazviri kuuraya kusvika pane chechina chenyika, nemunondo, uye nenzara, uye nerufu, uye nezvikara zvenyika.
Nekutaura ramangwana rekereke, Jesu akadzokera kuzvinhu zvakaoma zvaizosangana nemapostora pavaiumba kereke yekutanga.
MARKO 13:9 Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumatare emakurukota, uye mumasinagoge mucharohwa, uye muchauyiswa pamberi pevatongi nemadzimambo nekuda kwangu, chive chapupu kwavari.
Vadzidzi vake vaizorwiswa kasingaperi nevose vatungamiri vemaJuda nehushe hweRoma yemaPegani.
Kurwisa nekupomera mapostora zvivi zvakakurisisa zvaigona kuitwa nevatongi ava. Mapostora vaifanira kutanga nheyo dzekereke dzaizogara makore 2 000 kusvikira nguva yekereke yekupedzisira yadzokera kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga. Saka, vadzidzi vaive nebasa rakakurisisa. Vaifanira kunyora Testamente Itsva nekutanga kereke yekutanga.
Kereke yemaKristu yakatangwa nekurovererwa kukuru. Mubati weRoma Nero akatanga kuuraya muna AD 64 kuti apomere maKristu moto weRoma waaive akonzeresa iye. Akasunga mupostora Johane mutorongo yepachitsuwa chePatimosi uko Johane akatanga kunyora Zvakazarurwa. Johane akaburitswa muna 68 AD pakafa Nero.
Domitian akaitwa mubati weRoma muna AD 81. Akazotangawo kuuraya maKristu nekusunga zvakare Johane paPatimosi mumashure mekuedza kumukwatisa mumafuta. Johane akapedzisa Zvakazarurwa akaburitswa pakafa Domitian muna AD 96. Vasungwa vezvematongerwo enyika vaisunungurwa paifa Mubati weRoma.
Vadzidzi, vakazova vapostora, pavakanga vasisipo, kazhinji nekuda kwekuurayiwa, chokwadi chaizorasika apo vanhu vanoda hukuru vaitonga kereke- vachida kuzvipfumisa. Chokwadi chaizodzorerwa zvishoma nezvishoma mumashure meNguva dzeRima. Kuita uku kwakatangwa nemumonku aive akashinga wekuGermany ainzi Martin Luther. Akadzorera chitendero chekuponeswa neKutenda kwete nemabasa.
Muna 1604 kwaive nevadzidzi 47 vakaturikira Bhaibheri reKing James. Rakaongororwa nekudzokorora kuongororwa rikazoshambadzwa muna 1769 parakazova nheyo dzenguva huru yemamishinari.
Zviitiko zvenguva yekupedzisira zvinorema
MARKO 13:10 Uye evhangeri inofanira kutanga kuparidzirwa kumarudzi ese.
Evhangeri rakaparidzwa kubva parwendo rwemupostora Pauro.
Nguva huru yemamishinari yakatanga makore akapoteredza 1793 naWilliam Carey achienda kuIndia, zvakaona makumi ezviuru zvemamishinari achibva kuBritain Isles. Bhaibheri reKing James rakaparidzwa pasi rese.
Nhasi, totenda intaneti, chokwadi chinofamba pasi rese nemakombiyuta nembozhanhare (dzinodaidzwo kuti maserofoni).
MARKO 13:11 Asi kana vachikuurayai vachikutengesai, musafunganya pakutanga zvamuchataura, uye musafanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo taurai izvozvo; nokuti hamusi imwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
Tichitanga nemapostora ekutanga, Diaborosi akagara achipikisa nekuroverera chero munhu anopinda munhau dzekuparidza chokwadi cheBhaibheri reKing James.
Nhasi Diaborosi anoita kuti vanoenda kumakereke vapikise Bhaibheri reKing James. Vanopikisa hushumiri hwaWilliam Branham uyo akazivisa zvakavanzika zveBhaibheri. Ikozvino makereke emharidzo anorwisa hushumiri hweHama Branham nekuturikira zvavakataura zvisizvo nenzira yekuti havagoni kutsigira dzidziso dzavo neMagwaro chete.
Vanoparidza Zvisimbiso zvinomwe vachiti zvakazarurwa. Asi zvinofanira kuziviswa zvisati zvazarurwa.
AMOSI 3:7 Zvirokwazvo Ishe JEHOVA haangaite chinhu, asina kumbozivisa varanda vake ivo vaprofita.
Kwaive kusina munhu akagona kuzivisa Zvisimbiso zvinomwe William Branham asati auya.
Iye ega ndiye akagona kuzivisa zvakavanzika zveZvisimbiso Zvitanhatu zvekutanga.
Chisimbiso chechinomwe chakaziviswa kuti chaive chakavanzika chakazara. Kuuya kwaShe.
Hama Branham havana kubvira vati Kutinhira kunomwe kwakareva.
Asi ndiyo nhau inofarirwa kuparidzwa nemakereke emharidzo apo vanofungidzira pamusoro pezvakavanzika izvi. Vanoti Kutinhira kunomwe kwakareva uye vanozvikorokotedza kuti vakachenjera zvekuti vanonzwisisa Kutinhira uye “kuchenjera kwavo kwakabereka tsananguro dzinodarika 20 dzeKutinhira. Asi munenhamo imi kana muchipokana nemunhu anotenda kuKutinhira.
MARKO 13:12 Zvino mukoma achatengesera munin'ina kurufu, nababa mwanakomana; nevana vachamukira vabereki nekuvauraya;
Kuvenga chokwadi cheBhaibheri chichabvumburudza chero hukama hwepedyo hwedzimhuri. Vanoenda kumakereke vachavenga chokwadi uye vanosvibisa hunhu hwevanhu vanosvibisa vaya vanopokana navo.
Muna AD 325 Tiriniti yakaziviswa pakanzuru yeNicaea Hondo dzikarwiwa pamusoro peKuzara kwehuMwari. MuNguva dzeRima makumi emamiriyoni evanhu vakaurayiwa nekuda kwekusiyana kwemaonero avanoita dzidziso dzeBhaibheri. Ruvengo nemhirizhonga zvakapinda mumakereke.
Zita raesu rakavengwa parubapatidzo
MARKO 13:13 uye muchavengwa nevese nekuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa.
Nhau huru panguva yekupedzisira izita raJesu dzidziso dzeTiriniti dzakasukurudza pfungwa dzevasikana mapenzi (maKristu akaponeswa vakanyengerwa vakatenda zvisiriizvo) kuti vatende kuti neimwe nzira “Muzita raBaba reMwanakomana neroMweya Mutsvene” ndiro zita raMwari. Saka, vanoramba nekutuka kutenda kwekuti Jesu Kristu ndiro zita raMwari. Zvakadaro, vanoramba kubapatidzwa muzita raJesu Kristu zvakataurwa kuna Mabasa 2:38 vanoenda kumakereke anhasi havagoni kudzorerwa kunotenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga yemapostora.
Kune ndudzi dzerubapatidzo rwemvura rwakati wandei rwunotenderwa nemakereke mumakereke avo akasiyana siyana. Asi hakuna vazhinji vanobapatidza muzita raJesu Kristu. Vanhu ivavo vanoruita vanoruita vanozvidzwa vosvibiswa.
Hamugoni kushingirira kusvika kumagumo kuti muponeswe kubva kugehena.
Runenge ruri ruponeso kupfurikidza mabasa, hazvigoneki.
Munoponeswa kubva kugehena pakutanga kwerwendo rwenyu rwechiKristu pamunogamuchira Jesu saIshe naMuponesi wenyu.
Kushingirira muri mutendi-weBhaibheri anotenda kutiJesu Kristu ndiye Mwari Wamasimbaose zvinokuitai kuti muvengwe nevanotenda kuTiriniti vasina Zita rekudaidza Mwari wavo veTiriniti vanotenda kuti Jesu ndiye “Mwari Mwana” kutaura kusimo muMagwaro. Saka, vanotenda kuti Jesu ari pasi paMwari Wemasimbaose anova Mwari Baba vasina zita. Hakuna zita raMwari Baba remuTestamente yekare rakanyorwa muTestamente Itsva. Kutonyanya kuipisa zvinhu kune vanotenda kuTiriniti, kutaura kwekuti “Mwari Baba” hakuwanikwi muTestamente Yekare.
“Mwari Mweya Mutsvene” hazvina kubvira zvataurwa muTestamente Yekare kana Testamente Itsva.
Mweya Mutsvene hauna kubvira wapihwa zita muBhaibheri.
Vakatarisana nekutadza kuwanira Mwari weTiriniti zita, vanotenda kuTiriniti vanoramba nekutuka vanotenda kuti Jesu ndiro zita raMwari, nekuti kuzara kwehuMwari kwakagara mumunhu Jesu. (Vakorose 2;9).
Dzidziso dzeTiriniti dzakaita kuti kereke irasikirwe nezita raMwari.
ISAYA 26:13 JEHOVA Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akanga akatibata; Asi ticharumbidza zita renyu tichibatsirwa nemi moga.
“Mamwe madzishe”. Vanhu vatatu vari muhuMwari hweTiriniti.
Asi Munhu mumwechete ndiye ane zita muTestamente Itsva. Jesu.
“Mwari Baba” havana zita muTestamente Itsva. “Mwari Mweya Mutsvene” havanawo zita.
JEREMIA 23:26 Ko izvi zvichavapo pamusoro pavaprofita vanoprofita nhema kusvikira rini? Ivo vaprofita vezvinonyengera zvemoyo yavo.
27 Ivo vanofunga kukanganwisa vanhu vangu zita rangu nokurota kwavo; kwavanovudza mumwe nomumwe hama yake, madzibaba avo sezvavakakanganwa zita rangu, nokunamata Baari.
Tiriniti inosimba nenhema dzisimo Mumagwaro dzinoguma vanhu vasisazivi zita raMwari. Vanhu vatatu havagoni kuita zita rimwechete.
AMOSI 6:10 Ipapo uchati: Nyarara, nokuti hazvina kufanira kuti tireve zita raJEHOVA.
Vanoenda kumakereke havagoni kutaura zita raMwari wavo weTiriniti. Havagoni kuwana zita muBhaibheri rekudaidza “Mwari Mweya Mutsvene”.
Kana kuwana zita muTestamente Itsva rekudaidza “Mwari Baba.”
“Muzita raBaba, reMwanakomana nereMweya Mutsvene” harisi zita.
Saka, vanotenda kuTiriniti vanogarira kure nenhau yezita raMwari weTiriniti, kana vachida kuramba vari mukereke.
Kunyangadza kwechipegani mumakereke kunobvisa zita raMwari. Aive mapegani akatanga nepfungwa yamwari wetiriniti.
Kereke yeCatholic yakagadzirisa izvi kuzviita Tiriniti yevanhu vatatu vaimbove Mwari Mumwechete.
Hakuna akagona kuzvitsanangura.
Vemasangano anopikisa vakateedzera Mwari asimo muMagwaro uyu weVanhu vatatu muna Mwari mumwe kubva kuCatholic.
Pope akava mambo wemadhimoni ePugatori
MARKO 13:14 Zvino kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (anorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
Vhesi rakaoma kunzwisisa. Rine kuzadziswa kunodarika kumwechete.
MaRoma paakatanga kupinda muJerusarema, mbavha dzechiJuda dzakapinda muTembere dzikauraya muPrista Mukuru. Ndipo maKristu paakarangarira kuyambira kwaJesu vakatizira kumakomo kunovanda.
MaRoma echipegani vakakurira mbavha dzechiJuda nevaZiroti. VaRoma ava vakamira panzvimbo peTembere yevaJuda mugore AD 70 pavaive vasina mvumo yekumira. Vakaba pfuma zhinji yemuTemberi vakashandisa mari yacho kuvaka gomba reshumba muRoma maikandwa maKristu achidyiwa neshumba.
MaRoma akaparadza Tembere neJerusarema, vakaparadza nzvimbo iyi.
Kereke yeRoman Catholic ndiyo kumuka kwehushe hweRoma yemaPegani yakaparadzwa nemarudzi evatorwa. Mweya weRoma yemapegani wakamuka kuva kereke yeCatholic mumatongo eHushe hweRoma.
Tsananguro dzechipegani dzaifambirana nazvo (dzakaita seTiriniti) nemazwi eBhaibheri aive nyangadzi nekuti zvakabvisa zita raMwari. Mwari weTiriniti wevanhu vatatu haagoni kuita Zita rimwechete.
Kushandisa mazwi asimo muMagwaro (Tiriniti) kutsanangura Kutenda zvakaita kuti kereke inyangadzwe pachokwadi.
Nhasi maKristu vanoti chero dai “Tiriniti” isiri muBhaibheri, vanotenda kuti ichokwadi. Saka vanotendawo muKisimusi isimo muMagwaro, 25 Zvita, Chishanu Chakanaka, Renti, kudya hove musi wechishanu, kunamata Maria, nekudaidza William Branham kuti Izwi raMwari risingatadzi chero zvazvo Izwi raMwari risina kumbovimbiswa muTestamente Itsva.
DANIERI 12:11 Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe, namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
VaRoma vakaroverera Kristu aive Shoko raMwari.
Izvi zvinoratidza ruvengo rwune mweya weRoma yemapegani neShoko raMwari.
Munguva nomwe dzemakereke dzese, mweya weRoma yemapegani wakasvibisa kereke yeRoman Catholic nekuvaita kuti vashandure Shoko raMwari zvakaroverera Kristu zvakare.
Mazuva 1290.
Chipiriso chemazuva ose chakabviswa apo Jesu akafa paGorogota. Rufu rwake ndirwo rwega chipiriso chinoverengwa kubva ipapo. Zvimwe zvipiriso zvese hazvichaverengwi.
Zuva rinomiririra gore muchiprofita.
GENESISI 29:27 Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwe vo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwe zve.
Gore reBhaibheri rine mazuva 360.
ZVAKAZARURWA 11:2 Asi chivanze chiri kunze kwetembere urasire panze, uye usachiyera; nokuti chakapiwa kuvechirudzi; uye vachatsikira guta dzvene pasi mwedzi makumi mana nemiviri.
3 Zvino ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu, zvakapfeka masaga.
Mwedzi 42 mazuva 1260. saka 1260/42 = mazuva 30 mumwedzi mumwechete.
Mwedzi gumi nemiviri yemazuva 30 igore remazuva 360 muBhaibheri.
Gore redu rechiRoma (rakatanga nekarenda reRoma raJurio Kesari rikagadziriswa zvakanaka naPope weRoma Gregory 13) rine mazuva 365.24. saka pamakore 70 ega ega emuBhaibheri, tine makore 69 echiRoma.
Makore 1290 emuBhaibheri = 1290/70 mashoma kumakore edu tinowana makore 18.
Tine makore mashoma nemakore 18 pkarenda redu.
Makore 1290 emuBhaibheri = 1290 – 18 = 1272 emakore edu.
Gorogota rakaitika muna AD 33.
33+ 1272 = 1305.
Muna AD 1305 Pope mutsva akasarudzwa, Clement V. Akafa muna 1314 asi hakuna Pope akasarudzwa kusvikira pakasarudzwa John 22 muna 1316.
Muna 1315 papaive pasina Pope, zvikoshwa zvemaPope zvakagadzirwa kusanganisira kutaurwa kweTiara inova Korona yemitumbi mitatu yaPope.
Saka Clement V ndiye akaita Pope wekutanga kupfeka Korona yeMitumbi mitatu. Izvi zvakaita kuti ave mutongi weDenga Nyika nePugatori.
Chipegani cheBabironi nechipegani cheRoma chakawana mambo weemadhimoni, Pope.
Nekusanganisa nyangadzi dzechiKristu nechiPegani, kereke yeRoman Catholic yakaparadza kereke panhau yechokwadi. Vaive vakukwanisa kuparidza zvinhu zvenhema kumasangano akapikisa chiCatholic.
MATEO 24:15 Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise),
MaRoma echipegani muna AD 70 akamira muTembere akapisa nekuiparadza.
Makore akapoteredza AD 135 mapegani echiRoma akaparadza ibwe rimwe nerimwe raive rasara vakavhara nzvimbo yaive neTembere nemavhu kuti vabvise zvakazara humbowo hwese whehuvepo hweTembere. Ndiro danho rakasvikwa neMubati weRoma Hadriani pakuvenga maJuda.
Mweya wehutsinye wakaipa weRoma yemapegani wakakurirwa nemarudzi evatorwa vakatapa hushe hweRoma muna AD 476. Mweya weRoma wakaipa uyu wakazomuka kuva mupenyu mumatongo ehushe hweRoma uri Kereke yeRoman Catholic. Kereke yeRoma yakatsvaga kutonga madhimoni echipegani aya.
Nyangadzi dzechipegani idzi dzakapinda mukereke dzikaparadza Zano raMwari reruponeso.
Vanhu veMunhu weZvivi wekupedzisira vaive maRoma
DANIERI 9:26 Zvino kana vhiki idzo dzinamakumi matanhatu nembiri dzapera wakazodzwa uchabviswa akasara asina chinhu: Vanhuvemuchinda unozouya vachaparadza guta nenzvimbo tsvene Asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo kusvikira pakuguma, kuparadza kwakatemwa.
MaRoma akaparadza guta neTembere. Mukuru wemauto Tito aivewo muchinda nekuti baba vake Vaspasian vaive vachangogadzwa nemauto kuva Mubati. Zvakadaro, tito aive kufanoratidzirwa kwaPope weRoma wekupedzisira, anova munhu wezvivi, mwana wekuparadzwa. Mwana akabva kugehena.
Roma yemapegani yekatumira dutu remauto zviuru 80 kuti anorwisa Israeri. Vanhu vakaseka. Alexander Mukuru akatapa pasi rese revaPersia raive Hushe hwekutanga hwepasi rese achishandisa vanhu zviuru 50.
Roma yemapegani yakakura kuita hutachiwana hwemweya hwechiCatholic.
DANIERI 9:27 Zvino iye uchaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe, pakat pevhiki uchagumisa chibairo nechipo, zvino muparadzi uchasvika nebapiro rezvinonyangadza, kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwatarwa, kutsamwa kuchadururwa pamusoro pezvakaparadzwa.
Makore manomwe akapihwa maJuda Jesu paakatanga hushumiri hwake. Apakati pehushumiri hwake, mushure memakore 2.5 akauraiwa zvakagumisa zvipiriso zveTembere. Kuparadzwa kweTembere muna AD 70 kwakaita kuti zvisagoneke kupira zvipiriso mutembere.
Nyangadzi yemapegani echiRoma yakapinda mukereke yeRoman Catholic muna AD 382 apo Pope Damasus akagamuchira chinzvimbo chaPontiff chakamuita muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Akapa zvinzvimbo zvepamusoro zveKereke yeRoman Catholic kuvaprista vechipegani.
Kusatenda kwemapegani kwakaita kuti chokwadi cheBhaibheri chinyangadzwe. Kereke yeRoman Catholic yakakudza zvakaipa zvechipegani zvese kuzvisvitsa kukupera kwenguva dzemakereke, nguva yekuparadzwa.
Kereke yeRoman Catholoc ndiyo yega bato rakashingirira kurarama munguva nomwe dzese dzemakereke. Zvitendero zvenguva imwe neimwe zvakazunzwa zvikanyangadzwa nedzidziso dzekereke yeCatholic.
Vakanyengera makereke aisatenda muchiCatholic kupinda mutende mavo. Saka, kunyangadzwa kwakakonzerwa nekusaziva Bhaibheri kupfurikidza makereke akapanduka zvakare kuti vanyengere vasikana mapenzi vakanyengerwa.
Asipachatanga makore matatu nehafu eKutambudzika Kukuru, Mwari vakazvipira kuenzanisa kutsamwa kwaachadurura pakereke yeRoma nevasikana mapenzi vanotenda nyangadzi dzisimo muMagwaro dziri dzidziso dzemakereke emasangano.
Roma painorwisa Jerusarema budai nekukasika ndizvo zvinotaura Jesu
Kupindura mubvunzo pamusoro pekuparadzwa kweTembere, Jesu akataura pamusoro pechiitiko chegore AD 70.
Zviitiko zviviri zvakaipa zvichaitika. Mbavha dzechiJuda nematsotsi nevaZiroti vaizopind mutembere vouraya Muprista Mukuru. Kubva ipapo vaizotsvaga kubira nekuuraya vagari vemuJerusarema.
Mukuru wemauto wechiRoma Tito, Mwanakomana wemubati mutsva weRoma Vespasian, akarwisa Jerusarema akavaka masvingo akaipoteredza mumazuva mashoma shoma. Masvingo enyika paakapera, hakuna maJuda aizogona kupunyuka.
Mweya weRoma yechipegani waizopinda mukereke yeRoman Carholic. Chitendero chechipegani chaitenda muTiriniti uye nekuti chaive nemunhu pahutungamiriri hwacho aive musoro wetembere yechipegani. Mudzvanyiriri wekuRoma Jurio Kesari aive aisa chioko muhomwe kuti asarudzwe kuva Pontiff kana muprista mukuru wezvakavanzika zveBabironi. Mubati weRoma umwe neumwe aive pachinzvimbo chaPontiff kusvikira muna AD 382 apo mubati weRoma Theodosius akapa chinzvimbo chaPontiff kuna Bhishopu weRoma, Damasus, aive sekuru vake. Negore 400 Bhishopu veRoma vaive vakudaidzwa kuti Pope kana kuti Pontiff. Saka zvakavanzika zvechitendero cheBabironi yechipegani zvakapinda mukereke yeRoman Catholic kuti zviparadze kurudziro yemapostora vakatanga kereke yekutanga.
Pachinzvimbo chekutaura zvakataurwa muBhaibheri rakanyorwa, kereke yakatambira Pope kumuita Bhishopu wazvose muna AD 606. Munhu wese aifanira kuzvininipisa kuna Pope.
MARKO 13:15 neari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
Mbavha dzechiJuda dzaive dzisingadzoreki nehumbavha hwavo nehumhondi. Vanhu vaifanira kubuda muJerusarema pakarepo. Mubati wemauto eRoma Tito akakomba guta. Dai vanhu vasina kubuda pakarepo vaizova vakatapwa mumazuva mashoma aitevera.
Vanhu pavakabuda muJerusarema, mbavha dzaizovatevera dzovabira nekuvauraya. Saka, vanhu vaifanira kukasika kufamba. Zvaive zvisingarevi chinhu kuedza kutakura midziyo sezvo zvaizokunonotsai mbavha dzokubatai zviri nyore.
Zvitunha zvakasvibisa matama enzira.
MARKO 13:16 Neari mumunda ngaarege kutendeukira shure kunotora nguvo yake.
Kusiya zvose vachitiza nehupenyu chete.
MaJuda kana maKristu ekutanga muJerusarema pavakaona chiratidzo chekutanga chegadziriro yevaRoma kuti varwise Jerusarema vaifanira kubva vabuda nekukasika. Havaifanira kutakura chero chinhu. Vaisafanira kutakura chinhu nekuti zvaizovanonotsa kufamba uye mbavha dzaigara muTembere dzaizovatevera mumigwagwa dzovauraya. Zvaive zvakakosha kuti vafambe nekukasika vosiya nzira vofamba nenyika vofamba vakananga kumakomo kwavaizohwanda vanhu vaivatevera.
MARKO 13:17 Asi vane nhamo avo vane mimba neavo vanonwisa nemazuva iwayo!
Vakadzi vane mimba nevanoyamwisa vakatakura vana vaduku vanotambura mumakomo.
MARKO 13:18 Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
Israeri inotonhora zvakanyanya munguva yechando inonaya zvakare munguva yechando. Chando nekunaiwa ndicho chiitiko chinorwadza kwazvo kuvanhu vanenge vachifamba mumakomo vachitsvaga kuchengetedzeka muguta riri pedo rinonzi Dekapori (maguta gumi).
Uhu humbowo hwekuti Jesu aitaura maJuda muna AD 70 apo maRoma ane hutsinye, vaive vakavenga maJuda, vakaparadza Jerusarema uye kunyanya Tembere.
MaJuda anobuda ozodzoswa nekuurayiwa kunotyisa
Kuparadzwa kweJerusarema ndiko chimwe chiitiko chehutsinye hwakanyanyisa hwakaitwa nehushe hweRoma yemapegani. Zvakaratidza hutsinye hwakanyanya hwavaive nahwo nemaJuda. MaJuda anosvika 1,100,000 vakafa mumwedzi inoda kuita mishanu. Muhondo yepasi rese yechipiri chete ndimo matakaona mafiro evanhu akadai pahondo yeLeningrad yakatora makore maviri nehafu.
Hondo yepasi rese yekutanga yakasunungura mweya wehudzvanyiriri apo vatungamiriri vakasununguka akava nehudzvanyiriri mukushingirira kwavo kukurira muhondo.
Musolin akaita mudzvanyiriri wezvematongerwo enyika muItaly akaita Vatican nyika yakazvimiririra muna 1929. Iri nyika dukusa pasi rese, Vatican yakava nyanga duku yekupachiprofita chaDanieri. Pope akabatsira vose Mussolini naHitira kuti vave pamasimba vari vadzvanyiriri munezvematongerwo enyika.
Pope anotonga kereke ari mudzvanyiriri wezveMweya. Nhasi, ndiye ega mudzvanyiriri muEurope.
DANIERI 8:8 Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo; zvino yakati yasimba runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina ndokubuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga.
Mumashure memakore makumi maviri ehondo yemarudzi, vakuru vemauto vanga vakasara vachirarama vakagovana hushe hwaAlexander.
DANIERI 8:9 Zvino kunorumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku.
Izvi zvinotaura nyika yeLysimachus, umwe wevakuru vemauto echiGiriki akatsiva Alexander, anoratidzwa muruvara rutema. Izvi zvinosanganisira Guta rePergamosi umo maigara Pontiff weBabironi nechiprista chebabironi.
Mukuru wemauto Seleucus akatora Asina Ptolemy akatora Egipita. Sassander akatonga Girisi.
Mugore 133 BC nzvimbo yePergamosi yakapihwa kuRoma.
Muna 63 BC Jurio Kesari akaita zvechiokomuhomwe kuti aitwe Pontiff. Chinzvimbo chaPontiff chakapinda mukereke yeRoman Catholic pachakapihwa kuna Bhishopu weRoma, Damasus muna AD 382. Pope weRoma achiri kudaidzwa kuti Pontiff. Zvakavanzika zveBabironi zvakapinda mukereke yeCatholic yakaizoita Babironi guru yakavanzika. Vatican ndiyo nyika dukusa asi pasi rese inotonga maCatholic 1..4 biriyoni. Vatican ndiro bato rakapfumisisa pasi rese.
Mudzvanyiriri wepaHondo yePasi rese yechipiri Hitira naStalin vakasunungura mweya wehumhondi pamusoro peIsraeri, maJuda.
Zvaive zvakaita sekuti vadzvanyiriri Starlin muRussia naHitira muGermany vakasunungura zvakare mweya wehuurayi weRoma yemaPegani pamusoro pemaJuda.
MaJuda akabuda muNyika yeChipikirwa nekuurayiwa kwairwadza kwakauraya vanhu vanodarika miriyoni muna AD 70. Munguva yeHondo yepasi rese yechipiri makaurayiwa zvakatonyanya maJuda aisvika 6 miriyoni muHorokasiti yaHitira. Kuuraiwa kunorwadza kwaive kutanga kwekutendeuka kwaMwari achidzokera kumaJuda.
Marudzi akambonzwa tsitsi pamusoro pemaJuda vakavatsigira kuti vapihwe nzvimbo mumusha mavo muIsraeri muna 1947. Hondo ina nemaArabu dzakaona maJuda achikurira.
Mwenga paanenge aenda Mwari vanobva vatarisana nemaJuda zvakazar munguva yekuipa kweKutambudzika kukuru.
DANIERI 8:9 Zvino kunorumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku rukazokura kwazvo (Mweya wakazova Vatican) kumativi ezasi (makereke amambokadzi wekuzasi) nokumabudazuva (madhimoni) nokunyika yakaisvonaka (Israeri).
Mambokadzi wezasi anomiririra kereke inogona kutenda uye inoda kutenda muna Soromoni, Mwanakomana waDavidi, chinzvimbo chaJesu kana ava Mambo muMereniyamu kwemakore 1000.
MATEO 12:42 Mambokadzi wechamhembe achasimuka mukutongwa nezera iri, agoripa mhosva; nokuti wakabva pamagumisiro enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni; zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
Kaini akaenda kumabudazuva nemadhimoni ake enhema ehumhondi.
GENESISI 4:16 Ipapo Kaini wakabva pamberi paJEHOVA, akandogara kunyika yeNodi, kumabvazuva eEdeni.
DANIERI 8:10 Rukakura (Pope muVatican) kusvika iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi ndokutsika pamusoro padzo.
Pope anodaidza vatsvene vakafa kuti vayananisiri. Kunamata kuna Petro naMaria. Kutaura nevakafa kupira zvakaipisisa. Izvi zvinoderedza vatsvene kubva Kudenga kusvikovaisa pasi pasi zvekuti vanoita sevari pasi penyika kunzvimbo yemadhimoni.
DANIERI 8:11 Rukadzikudza kusvika kumuchinda weHondo, rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
Chinzvimbo chaPope weRoma ndiVicarius Kristi. Pachinzvimbo chaKristu. Hamugoni kuzvikudza kudarika ipapo.
Kutaura kuti Petro aive nemakiyi eDenga kuti iye ega asarudze kuti munopinda Denga here kana kwete. Jesu ndiye Musuwo. Asi Pope anoti Petro ega ndiye anogona kuzarura musuwo.
Izvi zvinosimudzira Petro kuenda pamusoro paJesu.
Jesu akati kuna Petro.
MATEO 16:19 Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.
Asi Jesu akataura chinhu chimwechete pamusoro pekuzarurwa nekuvharwa kune vamwe vadzidzi.
MATEO 18:18 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchasunga panyika, chichasungwa kudenga; uye chipi nechipi chamunosunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.
Saka chii chinozarura Mukova weDenga?
MABASA 2:38 Petro ndokuti kwavari: Tendeukai mubapatidzwe umwe neumwe wenyu muzita raJesu Kristu, kuitira kanganwiro yezvivi, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.
39 Nokuti chivimbiso ndechenyu, nechevana venyu, nechevese vari kure, uwandu Ishe Mwari wedu sehwevaanodana.
Kutendeuka kunozarura Musuwo weKudenga sezvo kunokuponesai kubva kuGehena.
Rubapatidzo muzita raJesu Kristu runozarura Musuwo unotigadzirira Kuuya kwaShe sezvo kunokuponesai kubva pakunyengerwa nedzidziso yeTiriniti. Saka munokwanisa kushandura mukana yenyu yekupunyuka kuva chikamu chevasikana mapenzi vanopinda munguva yeKutambudzika kukuru.
Mweya weKereke yeRoman Catholic unodzokera pamaRoma echipegani muna AD 70. vaRoma vakaroverera Kristu muna AD 33 zvakabvisa zvipiriso zvemazuva ose zvemhuka dzaive dzisisina kukosha. Vakaparadza Tembere muna AD 70 kuti pasave nechero munhu anopisira zvipiriso zvemhuka.
Vhesi iri rinoyananisa chiRoman Catholic chanhasi nemweya wakaipa wehumhondi weRoma yemaPegani. Vanhu vanosangana nazvo izvi kana nguva yeKutambudzika ikatanga.
MARKO 13:19 Nokuti mumazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kwakadaro kusati kwakavapo kubva pakutanga kwezvisikwa Mwari zvaakasika kusvikira zvino, uye hakuchatongovipo.
MaJuda anobatawo pakati peKutambudzika kuviri. Horokasiti yakavadzosera nyika yavo yechipikirwa nguva inouya yeKutambudzika ichavadzosera Messiasi wavo wavakaramba.
Jesu paanodzoka kuzotora Mwenga wake kunosangana naye kumakore Evangeri rinodzokera kumaJuda mumakore matatu nenhafu eKutambudzika Kukuru. Ichave nguva yakaoma yemarwadzo ekuuraiwa kukuru kusina kumboonekwa panyika. Ndizvo zvichasangana nemaJuda.
Saka, nekuda kwekuramba kwavakaitwa Kristu, vakauraiwa neRoma yemapegani muna AD 70. Ipapo kudzokera kwavo kuNyika yechipikirwa kwakaona vanhu 6 miriyoni vachiurayiwa negasi reZyklon mumakamba aHitira. Hitira, ari mudzvanyiriri wezvematongerwi enyika, akasunungura mweya weRoma yemapegani pamusoro peIsraeri.
Pakupedzisira, kugamuchira kwavakaita Messiasi munguva yekutambudzika kukuru Amagedhoni isati yatanga kuchaona Israeri, maJuda, vachitarisana nekurwadziswa kwakaoma nekuurayiwa kunorwadzwa kwezvitamu zvitatu zvavo.
ZEKARIA 13:8 Zvino munyika yose; ndizvo zvinotaura JEHOVA, migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu ucharegwamo.
Madhimoni mukereke anokonzeresa rufu pamweya
Asi chii chakaitika kumweya weRoma yemapegani wakasunungurwa naHitira? Roma yemapegani yaive yechitendero chainamatwa zvifananidzo nemadhimoni.
Pakamira Hondo yepasi rese yechipiri, vanhu vekuGermany vaifanira kumira kuuraya maJuda. Saka, vakasunungura mweya wemaDhinoni achipinda munzvimbo dzemweya kuti vaparadze Israeri yemweya, kereke. Kuti vagone kuzadzisa izvi vakapinda mukanzuru yepasi rese yemakereke payakatanga muna 1948.
Nekuita kuti maKristu akaponeswa asatende nekunzwisisa Bhaibheri reKing James, mweya yemadhimoni iyi ichasairira vasikana mapenzi munguva yeKutambudzika kukuru. Ikoko vachauraiwa zvakanyanya mukudeurwa kweropa kukuru. Havagoni kuuraya vasikana mapenzi ikozvino, asi zuva richauya paachatenderwa kuita izvozvo. Mweya wakaipa weRoma yemapegani waivenga maJuda uchuraya chetatu chemaJuda zvakare.
Ndiyo hondo huru yatarisana nekereke yechokwadi kana Mwenga Ishe vasati vauya kuzotora vatsvene kuenda kunosangana navo Kudenga. Tinotevera sei Magwaro nekudzorerwa kunotenda zvakatendwa nekereke yekutanga yemapostora yeTestamente Itsva. Kunotevera makore 3.5 eKutambudzika kukuru nekuipa kwawo kunotyisa.
Mwenga wechokwadi anofanira kutevera Magwaro zvakazara nekutenda kuti Bhaibheri reKing James ndiro Mukuru asingatadzi. Mwenga anofanira kudzorerwa kuzvitendero zvenguva yekereke yekutanga.
Asi madhimoni echitendero mumakereke akapatsanura vanoenda kumakereke kuvaita masangano akasiyana siyana anosvika 45,000.
Madhimoni ezvitendero aya akarwisa zvikuru Bhaibheri reKing James. Mavhezheni anodarika zana eBhaibheri reChirungu avako. Munosarudza ramunoda. Zvinosuwisa sei.
MaKristu chaiwo vanotenda kuti Bhaibheri reKing James rine zvakakanganiswa mariri, rinozvirwisa, ingano, kana kuti rine zvakakanganiswa mariri. Saka, Kutenda kwavo kakugoni kuva kwakachena.
Zvakadaro zvinowedzera kusagoneka kunzwisisa Bhaibheri saka nekudaro vakadzokera kunotenda zvitendero zvekereke yemapostora ekutanga.
MARKO 13:20 Dai Ishe asina kuatapudza mazuva, hakuna chero nyama yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa, vaakasanangura, wakaatapudza mazuva.
Nguva yekereke yechinomwe inofanira kugurirwa panzira.
Vhesi iri haritauri pamusoro peruponeso kubva kugehena. Nekuti runowanikwa nekungotendeuka.
Asi rinoreva kuti hakuna munhu anoda kutenda chokwadi cheBhaibheri saka hakuna nyama ichaponeswa kubva kunguva yeKutambudzika kukuru nekutorwa kunosangana naShe kumakore.
Gore rega rega maKristu akawanda anowira muzvakaipa vowana chakakanganiswa muBhaibheri reKing James.
Kukanganisa kwapararira mumakereke zvekuti hakuna anogona kuwana chokwadi chakazara zvachose.
Makereke anoparidza musanganiswa wechokwadi nemanyepo.
Vaparidzi vemasangano nevaparidzi vemharidzo vanoti vanotevera William Branham vari kuita nhengo dzekereke dziri kutowedzera kusaziva chokwadi cheBhaibheri. MaKristu akushoropodza zvimwe zvikamu zveBhaibheri reKing James. Vachifunga kuti vakangwara, maKristu anotenda mutsananguro dzekushanduka kwevanhu kubva kumhuka netsananguro dzeBig Bang. Zuva rakaberekwa mwari wezuva weRoma yemapegani rakaitwa 25 Zvita neMubati weRoma Aurelian muna AD 274, mazuva matatu mumashure mekuuraiwa kwaBhishopu weRoma. Gore rakapoteredza 350 AD Pope Jurio I akaita 25 Zvita zuva rakaberekwa Mwanakomana waMwari, Jesu. Rakadaidzwa kuti Kristu Masi sezvo maCatholic vanopemberera mamasi.
Bhaibheri harina kubvira ratiti tipemberere kuzvarwa kwaIshe.
Asi vemasangano akabuda muchiCatholic vakatambira Masi yemaCatholic isimo muMagwaro vachiiti Kisimusi.
Saka, nyangadzi yekereke yechiKristu yakaenderera mberi ichirasa Magwaro dzidziso zhinji dzisimo muMagwaro dzichibva mukereke yeRoman Catholic dzichipinda mumakereke asingateveri chiCatholic. Tiriniti. Renti. Chishanu Chakanaka. Kudya hove musi weChishanu. Masangano. Munhu ari musoro wekereke. Murevhi, kana Pasita. Zvakataurwa nevanhu zvichitsiva Magwaro. Kutenda kuti William Branham ndiye Izwi raMwari uye kuti Haatadzi, sekutendwa kunoitwa kuti Pope haatadzi.
MARKO 13:21 Uye ipapo kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano; kana: Tarirai apo; musatenda;
Hamuzomboone Jesu panyika kusvikira paKuuya kwake kweChipiri. Ipapo haatsiki panyika sezvo achatora vatsvene vake kunosangana navo kumakore.
Nzvimbo imwechete yoga yamuchaona Jesu asati aonekwa ari panyama kumakore kuti atitore aende nesi Kudenga, ndeapo anoziviswa muzvakavanzika zveMagwaro zvinotigonesa kunzwisisa Bhaibheri. Munomuona chete ari Shoko rakaziviswa.
Zvinhu zvinoshanduka chete kana vatsvene veTestamente Itsva vamuka kubva kuvakafa. Kutinhira unomwe kuchagonesa isu kuti miviri yedu ishandurwe ifuke kusawora.
Ipapo chete ndipo patichaona Jesu mumuviri wake wenyama.
I JOHANE 3:2 Vadikanwi, ikozvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Asi tinoziva kuti kana achizoratidzwa, tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita.
MARKO 13:22 nokuti vana Kristu venhema nevaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause, kana zvichibvira, kunyange vasanangurwa.
“Kristu” zvinoreva kuti zodzo rechokwadi. Vaparidzi vachatiratidza zvishandwa zvemweya asi havazogoni kunzwisisa zvakavanzika zveMagwaro uye vanoparidza dzidziso dzenhema. Vacharamba chokwadi chezvakavanzika zvakaziviswa.
Zodzo rechokwadi pamusoro pekunzwisisa Magwaro kwenhema. Kana mukasiya kutevera Magwaro zvakanaka munobatirirwa monyengerwa nevanhu ava.
VanaKristu venhema vanoti vanoparidza chokwadi vakapatsanura kereke kuiita masangano anodarika 45,000 emakereke akasiyana siyana. Koita mavhezheni anodarika zana e Bhaibheri reChirungu ekusarudza kubva kwaari. Saka hazvigoni kuwana chokwadi mudutu guru remweya iri.
MARKO 13:23 Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
Takayambirwa zvisati zvasvika.
Madhimoni akasunungurwa pamaJuda achibva azopinda mumakereke
Nguva yekereke yekupedzisira inofanira kudzokera kudzidziso dzekereke yekutanga yemapostora isati yatorwa kukwira kudenga kunosangana naShe kumakore.
I VATESARONIKA 4:17 kozouya isu vanorarama vanosiiwa, tichabvutwa pamwe navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mumhepo; saizvozvowo tichava naIshe nekusingaperi.
Evangeri rinoenda kumaJuda.
Nguva yeKutambudzika inotyisa ichange iripowo.
Mwari vakatanga nekumwe kutambudzika (kwaidaidzwa kuti “kutambudzika ikoko”) kwakasangana nemaJuda uko vanhu 6 miriyoni vakaurayiwa muHorokasiti yaHitira munguva yeHondo yepasi rese yechipiri yakapera muna 1945. Nyika dzakashamiswa kwazvo kuti muna 1947 vakamboti kanganwei kuti vakavenga maJuda vakatsigira kuti vapihwe nzvimbo mumusha wavo Israeri. Ndiko kwaive kutanga kwekudzoka kweIsraeri muNyika yavo yeChipikirwa.
Mwari akatanga kushanda nekereke apo akasivisa zvakavanzika zvakavanzwa muMagwaro kubva muna 1947 kusvika muna 1965 kupfurikidza hushumiri hwaWilliam Branham .
MARKO 13:24 Asi nemazuva iwayo, shure kwekutambudzika ikoko, zuva richasvibiswa, nemwedzi hauchazopi chiedza chawo,
“Kutambudzika ikoko” kunotaura Horokasiti yaHitira umo maJuda 6 miriyoni vakafa.
Horokasiti yakapera muna 1945 pakapera hondo.
Zuva redu kana tsime reChiedza chedu iBhaibheri reKing James.
Mumashure megore 1945 madhimoni akasunungurwa akauraya maJuda aive akufanira kumira kuuraya. Kereke hayaizotambira kuuraiwa kwevanhu vazhinji nguva imwechete. Nehuchenjeri madhimoni akashandura nzira dzawo akatanga kuuraya kutenda kwaive nevanhu muBhaibheri reKing James. Vakauraya chero rudo rwaive nevanhu muzaruriro yenguva yekupedzisira yaWilliam Branham apo aitiratidza kuti tonzwisisa sei Bhaibheri.
Mweya iyi yakapinda mukereke ikatanga kurwisa Bhaibheri reKing James zvakachenjera. Apo vanoenda kumakereke vakawana zvakakanganisika muBhaibheri reKing James vhezheni, vakariramba, zuva rakadzima. Bhaibheri reKing James Vhezheni (KJV) risingatadzi rakabva rasiiwa richinzi rakakanganiswa kwazvo. Chiedza charo chakafuratirwa. Saka kurudziro yeBhaibheri reKing James yakadzimwa nekuti rakarambwa.
Mwedzi chiratidzo chekereke unoratidzira zuva (KJV) kunyika iri murima. Mwedzi hauna Chiedza chawo wega. Saka, kereke inofanira kuratidzira Bhaibheri reKing James chete.
Asi nekushandura mazwi eBhaibheri nekushoropodza Bhaibheri reKing James kereke haicharatidziri chiedza chezuva asi vari kuratidzira mazano avo akasiyana siyana. Saka kereke iri kuratidzira chokwadi chishoma kwazvo. Saka mwedzi unenge usingapi chiedza nekuti vanenge vasisadzokorore kana kutenda muBhaibheri reKing James.
Mumashure mekutambudzika kweHorokasiti, madhimoni ese ehumhondi akasunungurwa nevadzvanyiriri Hitira naStalin aifanira kumira kuuraya maJuda pakapera Hondo yePasi rese yechipiri. Nyika dzaisazotendera kudeura ropa kwakaipa kudaro kuti kuenderere mberi. Saka, muna 1948 madhimoni ese akapinda muKanzuru yemakereke kuti auraye rudo rwechokwadi kupfurikidza kuita kuti varambe Bhaibheri reKing James vhezheni. Akaitawo kuti makereke asiri maCatholic arambe hushumiri hwehama Branham kuti maKristu enguva yekupedzisira, vanofanira kuva vana vatendeukire kumadzibaba mapostora, vafe pamweya mukusaziva kwavo Bhaibheri. Kuti vagourayiwa munguva yeKutambudzika.
Eksodo yekutanga maJuda aibuda muEgipita farao akauraya vana. Eksodo yechipiri yakaona kereke ichibuda muchiJuda Herode akauraya vana. Eksodo yechitatu inoona Mwenga achibuda mumakereke apo kereke inouraya vana nhasi netsika dzavo dzisimo muMagwaro. Tiriniti. Mwari Mwanakomana. Baba neMwanakomana vakaenzana. Baba neMwanakomana ndevekuita kumwechete (hameno kuti zvinorevei). Kisimusi. 25 Zvita. Chishanu Chakanaka. Nguva yeKutambudzika yemakore manomwe. William Branham ndiye Izwi raMwari. Hama Branham havatadzi.
MARKO 13:25 nenyeredzi dzekudenga dzichawa, nemasimba ari kumatenga achazungunuswa.
Tinoshandisa nyeredzi kuverenga muchadenga. Nyeredzi dzinotitungamirira pamweya ndivo vaparidzi mumakereke nevatungamiriri. Vanofanira kutipa kunzwisisa Bhaibheri. Asi vaparidzi vanhasi vanorasika kubva pakudana kwedenga vanotsvaga mari voudza vanhu zvavanoda kunzwa. Vanoparidza kubva patsika dzekereke nemazano akaitwa nevanhu. Havagoni kutsigira dzidziso dzavo vachishandisa Bhaibheri rega. Nekutadza kuzivisa zvakavanzika zveBhaibheri, havana nhungamiri yemweya yavanopa vanhu sezvo vanongosara murima. Vanoenda kumakereke vari kuwedzera kushaiwa zivo yeBhaibheri.
Zvino muna 1963, Mwari vakazivisa Zvisimbiso Zvinomwe zvinotendera zvakavanzika zveMagearo kuti zvizaruke.
Kuti vakwezve vanhu kuchiitiko chikuru ichi, vatumwa vanomwe vakaita Gore guru rinoshamisa raive makiromita 42 mudenga pamusoro peguta reFlagstaff musi wa 28 Kukadzi 1963. Pachinhambwe ichocho mhepo inenge yakatetepa kwazvo zvekuti haigoni kugadzira gore. Hakuna hunyoro.
Gore raisanzwisisika pachinhambwe ichocho rakazunza mirairo yese yefizikisi. Kazhinji tinodaidza muchamweya kuti “Denga”. Zvichibva kumurairo wefizikisi, hakuna gore rinoita mvura inonaya rinogadzirika pachinhambwe ichocho. Asi Gore iri raive richiri rakajeka kunze kwatodoka kwasviba. Izvi zvinoratidza kuti raive chinhambwe chinoshamisa mudenga, rakaitwa nemapapiro evatumwa.
Mazuva masere akatevera paSunset Peak vatumwa vanomwe ivavo vakaive vaita Gore vakapa hama Branham basa rekuzivis Zvisimbiso zvinomwe. Zvakasvitsa pakuzarurwa kwezvakavanzika zveMagwaro.
Hama Branham vaikwanisa kuzvitsigira vachishandisa Magwaro. Ikozvino, vanhu vakazvimiririra vari muMwenga vanofanira kusvika panguva yavanotsigira zvavanotenda vachishandisa Magwaro.
I VATESARONIKA 4:16 Nokuti Ishe amene achaburuka kubva kudenga nekudana kune simba, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; zvino vakafa muna Kristu vachatanga kumuka;
Mwedzi mumwechete vasati vafa, hama Branham vaive vachiri vakamirira “kudanidzira” kuti kuitike.
65-1127 NDAKANZWA ASI ZVINO NDAKUONA
Kuna Mwari akanaka, panguva ino, ichava nguva yakaita seino pakuchava nekurira kwekutinhira rimwe zuva, Mwanakomana waMwari achaburuka kubva kudenga nokudana, nenzwi reMutumwa mukuru nehwamanda yaMwari, vakafa muna Kristu vachamutswa.
“Kudana” vaive vasiri hama Branham vachitsigira mharidzo neMagwaro.
“Kudana” ndeapo Mwenga akazvimiririra anogona kutsigira dzidziso dzake kuti ndedzechokwadi achishandisa Bhaibheri reKing James chete.
62-1111 NEI NDICHIPIKISA CHITENDERO CHAKARONGWA
Tarirai, chitsauko chechi19 ndicho chinotevera, “mumashure mezvinhu izvi.” makaona here muchitsauko chechi19, “Mumashure mezvinhu izvi”? Kuona chii?
Mumashure mei? Mumashure memharidzo yekuti “ Budai maari!”
“Mumashure mezvinhu izvi,” tarirai,
“Kudanidzira kwevatsvene Mwenga, neChikomba vachienda kuMuchato weGwaiana.” tava pedo zvakadini, hama? Kudana kwekupedzisira ndekupi? Budai muBabironi!
Zvino, hama dzangu, ndicho chikonzero ndichizvipikisa. Hazvisi muMagwaro. Hazvimo muothodox. Zvakaziviswa kuti inhema. Mwari havasi mazviri, havana kubvira vapinda mazviri. Havasi kuzopinda mazviri. Zvino, handiri kuti hamuna vanhu mumapato aya, ndimo makagadzirwa kereke.
Asi, kana mukangoramba muri mazviri, muri chikamu chazvo.
NGUVA YEKEREKE YERAODIKIA- BHUKU RENGUVA DZEMAKEREKE CHITSAUKO 9
Tiri kuda kutarisa zvinhu izvi zvakanaka. Rinoti nguva ino yekereke yeRaodikia haipisi kana kutonhora. Kushaiwa kupisa kana kutonhora uku kunoda murango kubva kuna Mwari.
Murango wacho ndewekuti achavasvipa mumuromo wake.
Apa ndipo patisingadi kurasika sezvinoita vakawanda. Vanotaura nekushaiwa huchenjeri vachiti Mwari anokusvipai mumuromo make saka zvinoratidza kuti hakuna chinhu chakaita sechokwadi mudzidziso dzekushingirira kweVatsvene. Ndinoda kugadzirisa mafungiro enyu nhasi.
Vhesi iri harina kutaurwa rakamiririra munhu mumwechete. Rakataurwa kukereke.
Ari kutaura nekereke.
Kuchengetedzeka kwedu hakusisiri mukereke. Zviri pachena nekuti kune ndudzi dzinodarika zana dzemharidzo dzehama Branham. Hapana pakati padzo inogona kutsigirwa neMagwaro.
Munhu mumwe nemumwe anofanira kudzidza kuturikira zvakavanzika zveBhaibheri zvakadzama achishandisa zvaakabata paitaurwa. Havafaniri kuturikira zvakataurwa kuti zvireve zvimwe zvinhu zvisimo muMagwaro.
Zvino “izwi” reMutumwa Mukuru richamutsa vakafa.
Mumashure maizvozvo, Hwamanda yaMwari ichadana Mwenga kuti akwire anosangana naKristu kumakore pavachamuona achiuya.
MARKO 13:26 Ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mumakore ane simba guru nekubwinya,
Mwenga anokwira kudenga Mwari votendeukira kumaJuda
Mumashure mekuuya kwaShe kuzotora Mwenga wake wemuHedeni, Mwari vanotendeukira kumaJuda.
MARKO 13:27 ipapo achatuma vatumwa vake, vagounganidza pamwe vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.
Mumakore matatu nehafu eKutambudzika Mwari vanotumira vatumwa (huzhinji), vaviri. Mosesi naErija. Basa ravo nderekuunganidza maJuda akasarudzwa vanova vaya 144,000. vanofanira kuunganidzwa nekuti vakapararira pasi rese mumativi ese. Kuchamhembe, kumawodzanyemba, kumabudazuva nekumadokero kubva kuJerusarema. Vakasarudzwa naMwari kuti vazvarwe patsva neDenga. Vaka veDenga vaMambo mukuru. MaJuda 144,000 vachachengetedza Mwenga weGwaiana.
Asi kugadzirira nzira yemaprofita maviri echiJuda aya munguva yeKutambudzika, Mwari vanofanira kudzosa maJuda muNyika yavo yeChipikirwa.
MARKO 13:28 Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
Muwonde mucherechedzo weIsraeri. Muvhiki rekupedzisira rehupenyu hwake, Jesu akatuka muti wemuwonde musi weMuvhuro raive zuva rimwe mumashure meSvondo yeMichindwi, nekuti waive usina michero. Nemusi wechipiri waive waoma. Uyu mucherechedzo wekuoma pamweya kwerudzi rwevaIsraeri pavakaroverera Jesu musi weChina vakakandirwa kunze kwezano raMwari reruponeso rakabva rayambukira kukereke yevaHedeni.
Saka, muna 1947 maJuda vakapihwa kodzero neMubatanidzwa wenyika dzepasi rese kuti varwire chidimbu chemusha wavo Nyika yavo yeChipikirwa. Muna 1948 vakarwiswa nehondo shanu dzevaArabu vakakurira zvaisafungidzirwa.
Mureza wechiJuda inyeredzi yaDavidi. Davidi akararama makore anenge 3000 akadarika. Hakuna rumwe rudzi rune mureza unodzokera kumashure kudaro munhorondo. Mureza weNyeredzi yaDavidi wakatanga kusimudzwa muna 1948 nemutungamiriri wenyika, Davidi Ben Gurion. Kufanana kwezita pakusiyana kwenguva kwemakore anodarika 3000.
MaArabu akatyisidzira maJuda muna 1967 asi akakurirwa muhondo inodakadza yemazuva matanhatu.
Mosesi akati vaifanira kushanda kwemazuva matanhatu vozorora. Mosesi (Moshe) Dyan minisita wechiJuda wekuchengetedzeka kwenyika akarwa kwemazuva matanhatu kuti akurire Egipita, Jodani neSiria. Akazorora nezuva rechinomwe pakakanda vaArabu mapfumo pasi. Kufanana kwemazita kwacho mumashure memakore 3500. kukurira marudzi matatu mumazuva matanhatu hazvisati zvambonzwikwa, Asi Mwari aive atanga kutendeukira kuvaJuda.
Abrahama (akatanga achidaidzwa kuti Abrama) akaripira chegumi kuna Mwari akakumbira kuti Eshkori apiwe mugove wake. Muzukuru waAbrahama aive Revi akazotambira chegumi.
Revi Eshkori aive mutungamiri wenyika yeIsraeri maJuda paakakurira kutora nzvimbo zhinji dzenyika yechipikirwa. Kufanana kwemazita mushure memakore 4000. Zvine mugove kuripira chegumi.
GENESISI 14:20 Mwari wokudenga denga ngaakudzwe, wakapa vavengi venyu mumavoko enyu. Akamupa (Abrama) chegumi.
GENESISI 14:23 Kuti handingatori rushinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu kuti murege kuzoti ndini ndakafumisa Abrama.
24 Ini handidi hangu, asi zvakadyiwa namajaya chete, mugove wevanhu vakaenda neni, vanaAneri, naEshkori, naMamre, ngavatore migove yavo.
Revi Eshkori akapuhwa mugove wake.
MARKO 13:28 Zvino dzidzai mufananidzo kubva pamuonde; kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha raswedera.
Patinoona maJuda vachidzokera muNyika yechipikirwa mucherechedzo wekuti magumo aswedzera.
1948 raive gore guru asi vaive nechidimbu chiduku kwazvo chemusha wavo Nyika yeChipikirwa.
1967 raizova gore riri nani kwazvo rekubatira kubva kwariri. MaJuda aive ane zvidimbu zvakati kuti zvemusha wavo Nyika yeChipikirwa. Vaive vatapawo Sinai Penisula kubva kuEgipita isina kubvira yapihwa Abrahama naMwari. Saka, muna 1973 maArabu akavarwisa akakanganisa zvakawanda. MaJuda akapedzisira akurira asi vakapotsa vakurirwa. Saka, vakachinjana nyika nerugare rwavo.
Muna 1982 vakadzorera Sinai kuEgipita vachinyorerana chibvumirano cherunyararo.
Kubva zuva iroro, vaive vari muNyika yavo chaiyo yechipikirwa.
Ichi chidzidzo kwatiri maKristu kuti hatifaniri kutevera zvenyika mapfekero nehunhu. Tinofanira kurarama mumiganhu yeBhaibheri torega kupinda munzvimbo dzaSatani nekupinda munezvekubhema, kunwa hwahwa, kuita zvinodhaka, nekutamba njuga. Zvinhu izvozvo zvinozarura musuwo kuti Diaborosi atikuvadze aite zvaanoda nesu.
MARKO 13:29 Saizvozvo imwiwo, kana muchiona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti zvava pedo wava pamukova.
Israeri yakadzokera muNyika yayo yechipikirwa haichapindi mumiganhu yeEgipita. Magumo aswedera.
MARKO 13:30 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri, kusvikira zvinhu izvi zvese zvaitika.
Vanhu vakaberekwa makore akapoteredza 1982 vanogona kurarama kuti vaone zviitiko zvenguva yekupedzisira inoguma nemakore matatu nehafu eKutambudzika kukuru inogumira muhondo yeAmagedhoni.
Muna 2018 Mutungamiri wenyika yeAmerica Donald Trump akaita Jerusarema guta guru reIsraeri. Mambo Davidi vaive vamboita Jerusarema guta guru reIsraeri pakutanga makore akapoteredza 1000 BC.
Israeri yanhasi yakadzokera pamavambo ayo.
Ikozvino, Mwenga anofanira kudzokera pamavambo ake enguva yekereke yekutanga yemapostora.
MARKO 13:31 Denga nenyika zvichapfuura; asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Hakuna chinogona kushandura chero izwi rimwe remuBhaibheri reKing James Vezheni. Tinofanira kutora Bhaibheri reKing James seChokwadi chikuru. Chero kumwe kubva paKing James chivi.
Chero zvakanyorwa muBhaibheri reKing James, zvichaitika.
Tinofanira kumuka pakupedzisira kwete kuvata tokotsira
MARKO 13:32 Asi zvezuva iro neawa, hakuna anoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, kunze kwaBaba.
Hakuna anoziva kuti Kuuya kwechipiri kwaShe kuchaitika rini. Mwari haadi kuti tizive. Asi vanoda kuti tinge takagadzirira nguva dzese.
MARKO 13:33 Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarinhi.
Verengai Bhaibheri moziva kuti hakuna mufananidzo kana chiprofita pamusoro pekereke yekupedzisira chakanaka.
Tarirai zvinoitwa nemakereke apo vanobva paMagwaro vasingagoni kutsanangura zvakavanzika zvakaziviswa neMagwaro.
Tarirai kuti makereke akazadzwa sei nezvematongerwo enyika.
Tarirai kuti makereke akazadzwa sei nerudo rwekuita mari.
Namatai kuti muwane kunzwisisa kwakadzama kweBhaibheri reKing James kuti tipesane nekutadza kwemakereke.
MARKO 13:34 Semunhu wakafamba rwendo, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kune umwe neumwe basa rake, akarairawo murindi wemukova kuti arinde.
Hushumiri hutatu hunoshandiswa kuti kereke irongeke.
Mapostora eTestamente Itsva. Maprofita eTestamente Yekare nemuprofita wenguva yekupedzisira kuvaHedeni akadzorera kereke yekupedzisira pakutenda zvakatendwa nenguva yekereke yekutanga.
MATEO 17:11 Jesu akapindura akati kwavari: Eria achatanga kusvika zvirokwazvo, achavandudza zvinhu zvese.
I VAKORINTE 12:28 Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana.
Koita vadzidzisi vanogona kutora dzidziso dzaWilliam Branham vodzidzorera kuMagwaro kuti vatsigire chokwadi cheMagwaro.
Hapana kutaurwa nezvapasita. Saka, ngwarirai kuti muri kutevera ani.
MARKO 13:35 Naizvozvo rindai; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba anouya rinhi, manheru, kana pakati peusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
Hatizivi kuti Jesu anouya rini asi zvichange zvisina kutarisirwa.
Tinofanira kutarisira zvisina kutarisirwa.
Takadzidza izvi nguva yehutachiwana hweCOVID-19. Zvaive zvakaipa kubatwa chirwere ichi.
MARKO 13:36 kuti arege kuuya kamwe kamwe, akakuwanai murere.
Hatiedze kukotsira kana auya.
Mukadzi mufananidzo wekereke. Mhandara musikana mukadzi akachena mucherechedzo wevanhu vakaponeswa mukereke.
Mateo 25 ane mufananidzo apo vanhu vese vakaponeswa vanoonekwa nevasikana mhandara gumi, vamwe vakangwara vamwe vakapusa. Asi vese vakakotsira, vakavarairwa vasingazivi zviri kuitika.
MATEO 25:5 Zvino Chikomba chakati chichinonoka, vese vakatsumwaira vakarara
Mufananidzo uri kuna Mateo unoti maKristu akaponeswa ese akarara akakotsira mumakereke.
Mumwe mufananidzo kuna Marko unotiyambira kuti tikakotsira tinenge tiri panjodzi.
Saka tiri munguva yenjodzi.
Mwari vanoda kushanda nesu mumwe nemumwe akazvimiririra, kwete tiri kereke yakazara.
ZVAKAZARURWA 3:14 Nyorera mutumwa wekereke iri paRaodikia uti:
ZVAKAZARURWA 3:20 Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
Jesu anogogodza pamukova wekereke. Asi kereke haidairi.
Jesu ari kufunga kuti kune vanhu mukereke vachamunzwa vakazvimiririra.
ZVAKAZARURWA 3:16 Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu
Mwari anosvipa kereke mumuromo make, kwete munhu akazvimiririra.
MATEO 25:6 Asi pakati peusiku kwakadanidzirwa: Tarirai, muwani ouya, budai munomuchingamidza!
Kudanidzira kunotaura pamusoro pemarwadzo.
Kumutswa pakati pehusiku. Zvichatora njodzi huru here yakafanana nekudengenyeka kwenyika kuti izvi zviitike?
Kudanidzira kwekumutswa kunotiudza kuti tibude mumakereke edu. “Budai”.
Izvi zvinogumisa Eksodo yechitatu apo mwenga wekupedzisira vanhu vakazvimiririra vanobuda mukereke.
MATEO 25:7 Zvino vasikana avo vese vakamuka, vakagadzira marambi avo.
Kudanidzira kwekumutswa kunokonzera kuti tese, chero vasikana mapenzi, tizvinzvere togadziris hwaro hwedu nezvatinotenda muBhaibheri.
MARKO 13:37 Nezvandinotaura kwamuri, ndinotaurira vese: Rindai.
Izwi guru nderekuti “Rindai”. Tinofanira kurinda nekutarira. Tinofanira kuzvipira kugadziriswa nekudzidza patsva. Tinofanira kuda kugadziriswa kuti titevere Magwaro zviri nani pane zvataive.